Sunday 3 March 2013

Sare...... Todii nayo??

Sare/Sari Chiiko ?

Mhinduro yandakapiwa:
Its lyke kamhopo kanomera kushure kunobuda nemwana kanopa munyama kana kuita vana vachifa ,kana mamiscariages,rinokonzeresa zvakaipa zvakawanda coz rinoiswa nemuroyi,


Ipapo ndange ndava nenguva ndichitsvaka kuti sare chii. Chokutanga ndechokuti SARE /SARI ivara ratisati tawirirana nyika yese kuti rinorevei. Totizve hatizivi kuti chigwere hare kana kuti ndechimwewo chinhu. Vese vanotaura vara iri vanoritaura vane fungwa yokuti chinhu chakaipa uye chinotyisa zvokuti ukatoudzwa kuti une SARE unoshungurudzwa nazvo

Vamwe vanofunga kuti SARE idambudziko revanhukadzi chete asi gore rakapera ndakataura navanhu vakati wandei vaifunga kuti idambudziko revakadzi nevarume asi vachitambudzika zvakasiyana.

Vakwanda vanobvumirana kuti vara rokuti SARE hariwanikwi mune mamwe marudzi akaita sechirungu, zvinoreva kuti harisati rava mumabhuku ezvemishonga. Totizve vara iri rinowanzoshandiswa nevanoita zven’anga vanova vanopiwa mishonga vachibvisa mari.

Kune vakawanda, vamwe vacho ndakatombovaterera vachitaura nyaya dzavo dzekuti vakawana sei SARE uye vakazobviswa sei. Kana vachitaura iwe wakaterera unoona uti ivo vanotaura vari muchokwadi asi shuwa iwe unenge usingahwisisi kuti vari kutaura chii chaicho.  Nyaya iripo pano ndeyokuti kana panyika pano pakaita chigwere chinokwanisa kupiwa zita munyika yachatangira asi kukazopera makore akawanda, chigwere ichi chinozowanokwawo kune dziwe nyika.   

Kana mukaona chigwere changogara munyika umwe chete, munokwanisa kuzvibvunza kuti zvaita sei?. Asi mazuvano pane zvigwere zvakawanda zvisingabudi munyika yazvatangira. Toti chimwe chigwere chinoitiswa ne utachiona hunohi EBOLA VIRUS chinoita kuti muviri uore munhu achifamba ozofa atoora kare. Chigwere ichi chikawanikwa mu CENTRAL AFRICA chete kubva mugore ra 1976 kusvika mugore ra 2013.  Zvadaro mugore ra 2014 chakazobatwa kune dzimwe nyika dzakawanda. Kuda chichazoitawo mu Zimbabwe hatizivi.

Saka apa ndiri kuti zvinokwanisika kuti chigwere chiite munyika imwe chete kwenguva. KuUSA kune chigwere chevana chinohi TREX chokuti mwana anongotaura zvisina maturo nguva dzese. Hauzviwani kwedu izvi.

Saka Sare inokwanisa kuwanikwawo kwedu yoshaika kumwe. Ndosaka kusina zita rechirungu.

Nhema dzinobva pa sare
 Vatauri venhema vanoti ivo
1.      Sare rinobva pa dhimoni
2.      Vanaro vanoita munyama otadza kuwana murume
3.      Vanaro vanoita ngomwa, kureva kuti haazvari
4.      Vanaro vanofirwa ne mwana. 
5.      Vanaro vanosvodza.
6.      Vanaro vanorambwa nevarume
7.      Vanaro vakaroiwa
8.      Vanaro vane mweya waSatani
9.     Vanaro vanoda DELIVERANCE kubva kumuporofita


Hwisisa kuti zvese izvi inhema dziri pachena. Hakuna kana chimwe chete chazvo chinoitika chichiti nokuti une sare. Nhema idzi dzinokupedzera nguva uchifunga nokuita zvinhu zvisina maturo uku dambudziko richiwedzera kukura. 

SARE 2
Vamwezve voti sare/sari ndeaya anohi ma PILES pachirungu. Zvino ukatarisa kana munhu anawo, unoona kuti hazviurai mwana uye mwana anozvagwa nokumberi kuno kuchitubu saka hazvinei kuti une ma PILES here kana kwete, asi kungoti pamwe angabuda paunopusha mwana pakuzvara.  Hakuna mwana anaurawa nokuda kwemaPiles.

SARE 3
GENITAL WARTS.
Kana ukavata nomurume/mukadzi  anechigwere chemhopo pamberi, iwe unobva wachibatawo. Mhopo idzi dzinokwanisa kuva dzakareba dzichiita kurembera pamwe setumaronda. Hadzirapiki chero zvodii. Saka kana wangodziita unongozofa unadzo. Idzi dzinokwanisa kubatwa nomwana pakuzvagwa nokuti dzinoitiswa noutachiona. Vamwe vanoti chigwere ichi ndiyo SARE. Chero dzikachekwa dzinongomera futi.

Mazuvano kwava nemushonga unohi SOMXL unohi unorapa mhopo idzi. Imbomutsvaka uzame.


Sare 4 

Skin tags (Iyi ndiyo Sare/Sari chaiyo )

Chinohi skin tags zvinyama zvinongoitika zvorembera pazvamera ipapo zvichitaridzika kuva LOOSE uye zvisingagwadzi chero ukazvidhonza. Zvinowanzomera pamberi kana muhuro kana pamuromo, nomuhapwa uye pasi pemazamu. Munhu umwe chete anokwanisa kuzviita panzvimbo dzese idzi asi vawe vanongozviita panzvimbo imwe kana mbiri. Hazvimeri mukati mechitubu, asi imomo munokwanisa kuita zvimwe zvinohi POLYPS zvinofanira kubviswawo.

Kana ukaona wazviita enda kwadhokotera unomuudza kuti une zvinhu izvi iye agokuudza kuti zvinoda kuchekwa. Kuchekwa kwazvo hakunetsi unongopiwa mushonga wokutindivadza, vobva vacheka voisa mushonga wekuti zvisaita ronda.

Ukazvicheka iwe muridzi zvinokwanisika kuzomera zvawanda, zvikuru kana usina kutanga wanyatsohwisisa kuti zvinobvepi. Ndosaka muchiona kuti mapenzi aya anoenda kuvanhu vemuraini vasina zvitupa zvokurapa vondochekwa, vanomerazve zvimwe futi nguva isina kupera. 

Vanhu vakakora vanoita zvinhu izvi kupfuura vatete. Saka ukaona wazvitanga, chibozamba kuita mumhu mutate kuti zvisaramba zvichiitika.

Zvinobvepi:
Mumhuri yenyu zvinokwanisa kuvamo muropa.
Ukangotanga kuita muviri mukuru unokwanisa kutanga kuzviita. 

Pikicha yemaSKIN TAG epamberi pemunhukadzi 
Zvionere wega kuti akareba zvakadii. asi ukaverenga report yese hapana mwana akarwara kana kufa nazvo. 

Hwisisazve kuti munhu ari pa pikicha haasi munhu wekiZimbabwe saka hapana n'anga kana muporofita akanotsvakwa kuti zvirapiwe. 

Hwisisa kuti ukangogara usina kutsvaka mushonga unokwanisa kutanga une kanhu kamwe chete, kopera nguva, wopedzisira waita seizvi pamberi. Pikicha iyi ndeyoku USA saka usafunga kuti ndiwe wega kana kuti nyika yako ndiyo yega. 




Kuzama kurapa wega:
Kana une maSkin tag zama kurapa nemuto wemaLEMON. Svina LEMON woisa muto wacho paSkin TAG worega muto wooma woitazve, uchingodaro zuva rese rese. Ikaona SKIN TAG yosviba kuti zvii, ziva kuti zviri kushanda. Ramba ichiita kusvika yafa. Kana yafa ikadonha ramba ichiisa ipapo payange iri. Uchahwa kuvava panzvimbo yacho asi zama kusakwenya nokuti kukwenya kunoparadzira chikonzero pane imwe nzvimbo


 Hwisisa kuti hazvishandiri vese izvi. 


Kuuraya mwana: 
Pane zvese zvandanyora hapana kana chinhu chimwe chete chinokwanisa kuuraya mwana kana kupa munhu munyama kana kuhi chakabva kumuroi, kana kuitisa miscarriage kana chipi zvacho chingahi chaitiswa nazvo chakaipa kuzhe kwekuti kuzvitarisa kunobhowa uye kuti hapana anozvifarira. Iko kusazvifarira uku ndiko kunoitisa vanhu vanazvo vatoregwe mari nemakuruku anoti ane mishonga yazvo. Vanhu vemuZimbabwe vakachenjerera mari zvokuti.

Unotozoti wasvika kuno kuUK wozoona kuti inga marudzi ese anazvo zvinhu zvatinongoudzwa nhema kunyika yedu ne n'anga kuti vatitorere mari. Shuwa marudzi ese anazvo uye vanorapiwa vamwe vachitopora. Hapana kana muroi akavaroya uye hapana mwana anofa nazvo. Hapana mimba inobva nazvo. Zimbabwe ine vanhu vanoreva nhema dziri pachena asi mari vachiiwana nenhema dzavo idzodzo kuri kutyisidzira vanhu. 


Saka unoziva sei kuti munhu aita SARE.
Zvinobva nokuti chawafungira kuti iSARE chii kuti ugofunga kuti yabvepi. Kana ukafunga kuti chinhu chisingaonekwi kusvika chauraya mwana, uchakasira kufunga kuti ndezveuroyi saka zvabva kumuroyi. Asi nyaya ichakunetsa ndeyokuti uchafunga kuti inyaya yomuZimbabwe chete isingarapiki kumahosipitari. Zvichakuvhiringa nokuti dambudziko rako richaramba richiwedzera kusvika wachembera.

Ini sokuona kwangu zvigwere zvevanhu zvinototi zviwanikwe kune dzimwe nyika dzinogara vanhu. Saka ukaita chigwere chausingahwisisi. Kasira kunoudza dhokotera atarise uti chii agokuudza kuti zvoitwa sei. Ukamhanyira kundoudza vanhu veZinatha kana vaya vanohi maporofita uri kutambisa nguva dambudziko richikura.

VeZinatha vanokuudza nyaya vachishandisa mavara avanoziva kuti haumahwisisi kuti ufunge kuti chaunacho chinhu chikuru chinokwaniswa naiye nyakutaura.  Vaporofitawo vane nyaya dzavo dzokuda kuzikamwa kuti ndivo vanogona basa rokurapa nokuporofita. Vazhinji vavo ndevenhema chaidzo dziri pachena asi kana une dambudziko unozama zvese, chero vanhu vakakuudza kuti inhema, haumbobvumi kuti inhema kusvika dambudziko rawedzera.

Mazuvanozve kwava ne ma PASTOR vanoita zve DELIVERANCE. Chese chese chinongohi i dhimoni rinoda DELIVERANCE. Ukabata BACTERIA kana VIRUS kwahi iDHINOMI. Madhimoni ariko chose asi haaitisi maBACTERIA nemaVIRUS anova anoitisa zvigwere zvakawanda. Kazhinji ukanoona N'angarume, Muporifita kana kuti Pastor uri wega, anokuudza zvakawanda agokukwira agokuudzazve nhema kuti ari kukurapa. Unozodzokera kumba kwako ipapa pauri kufunga kuti pangangouraya mwana posiririka urume hwemuporofita, watovazve nedambudziko rokuti wanotorera murume wako chigwere chechihure.  Pane kuti dai wangoenda kwa PRIVATE ukanobvisisva bhurugwa ukatariswa NURSE aripo achiwhitinesa kuti hausi kuiswa. Zvadaro woudzwa dambudziko wodzokera kumba kwako wondotsvaka mari yemushonga wekuCHEMIST.


Ini sokuona kwangu, enda unorapiwa nyaya yako ipere udzokere pautano.

1 Sare haiurai vana pakuzvara
2 Sare inorapika zvakakodzera nokuziva kwamadhokotera
3 Sare haibvi pakuroyiwa
4 Sare haipi munyama
5 Sare hairapiki nemushonga wen'anga. Kana ukawana n'anga inokwanisa kukurapa, kasira kusiya zita rake pano. Tomupa test. Kana akapasa tomupa bhizimisi guru chose. Kuchekwa sare zvinokwanisa kutokuwedzera kana yomera futi.

Mishonga inozikamwa kuti inorapa ma SKIN TAG
Mishonga iyi hainei nokuenda kwamurapi uye haidhuri kuiwana uyezve hapana chimwe chakaipa chainokonzera. Haidi n’anga. Iwe wega ukangofungira kuti une ma SKIN TaG unokwanisa kuzama umwe noumwe wemishonga iyi kusvika warapika. Izvi zvinorapa maSkin Tags aya anomera pamberi, muhapwa, muhuro, etc zvese kumunhurume nomunhukadzi. 
Kana uri munhukadzi, hwisisa kuti nyaya dzakadai dzinowedzera kana une mimba, zvikuru kana mimba ichangotanga ma HORMONE ako achichinja BALANCE yawo. 



1 GARLIC
Tora GARLI woimenya ganda, woikuya kusvika yaita PASTE. Tanga wageza, woisa GARLIC pa SKIN TAG, wosunga ne BANDAGE kusvika mangwana wodazve kugeza. Kana iri SKIN TAG inokwanisa kuoma yodoha yega kwapera mazuva matatu kana mana uchiirapa ne GARLIC.

2 Vinegar (shandisa iya inohi APPLE CIDER VINEGAR)
Tanga wageza kuti ma SKIN TAG ako anyorovere.  Zvadaro tora donje diki rakaenzanirana ne SKIN TAG yako. Wonyika mu VINEGAR woisa paSKIN TAG wosunga ne BANDAGE wosiya zvakadaro 30 minutes. Wobvisa woisa donje mumvura inodziya wopukuta.
Unofanira kuzviita mangwanani, masikati, manheru  kusvika SKIN TAG yaoma ikadonha yega

3 Gavakava ( Aloe Vera)
Enda musango utsvake gavakava rakaita seiri kwete mamwe. Kana uri kuEUROPE enda undoritenga kuGarden centre.  Kana wariwana musango uya naro kumba worisima mugadheni yako pane matombo parinokura zvakanaka. Harimbonetsa kurisima.

Tanha shizha rakakomba rokuzhe, woricheka wosvina muto. Woisa muchibhotoro. Chopota uchizora muto wacho pa SKIN TAG katatu pazuva kusvika zvarapika.

4 Muto we PINE APPLE:
Enda kuSupermarket wondotenga PINEAPPLE. Wasvika kumba rega ritange ranatsa kuibva. Wobva waricheka wosvina muto waro woisa muchibhotoro. Chizora muto pa SKIN TAG katatu pazuva kusvika yaoma nokudonha. Kana wada musi wekutanga zora wobva waisa BANDAGE.


Muto weLEMON
Cheka LEMON wosvinira muto pama SKIN TAG ako katatu pazuva kusvika adonha.





Udzai Vamwe!!!!!!

Sare, sare. sari, 

60 comments:

Anonymous said...

Sare zvinyama zvinobuda either kunobuda netsvina kana kunopinza murume chinhu chake panguva yebonde or smtimes both sides.

Masare anonzi anokonzera munyama kana akasachekwa.Haangomeri ega asikuti zvinonzi kuroiwa chaiko.

Sare zvinyama zvichena size yacho nzungu yangoti kurei zvishoma.Anotochekwa nerazor kazhinji nemapostori.Ukaita sare usati wazvara kubata mwana kunogona kunetsa nekuti zvinonzi mwana akarigumha achibuda anofa.

Ini ndakachekwa revagina munaNovember last year hazvirwadzi bt ndaitya excessive bleeding munongozivawo tuma operation twemumba

Anonymous said...

So its a unique Zim illness here ?

Anonymous said...

ukabviswa repavegina unozokwanisa here kubata pamuviri nekuti ini ndirikutadza kubata pamuviri ndinofunga ndine sare

Mai E Chibwe said...

Ndinyorerewozve uchinyatsotsanangura kuti kubata pamuviri kunosangana papi ne SARE? Pamuviri panoitiswa nezai richisangana nourume hwemurume. Kana mukadzi asingakandiri zai kana kuti murume wake asina urume hwakasimba, mimba haiitiki. Hazvinei kuti munoita sei. Nyaya yokusabata mimba haisi yokunonokera kunovhenekwa nokuti inokwanisa kuwedzera makamirira.

Anonymous said...

Veduwee ini ndine chinyama ichocho paburi rinopinza murume napo apa ndine pamuviri pane mwedzi mitatu manje mubvunzo wangu uri pakuti zvinoita here kuchekwa ini ndakazvitakura ,mazvita

Mai E Chibwe said...

Chokutanga usada kuti zvichekwe nomunhu wemuraini. Enda kwachiremba akuudze zvokuita. Zvimwe zvinhu tinozvichengeta kwenguva yakarebesa tisingaendi kune vanokwanisa kutibatsira. Zvinofamba sei kuti wakazviona kare asi uchinazvo nhasi. Kasira kundoonekwa zvirapwe.

Anonymous said...

kune vane sare here? vakabereka mwana akasafa.

Mai E Chibwe said...

Handifungi kuti ungawana ane sare akabereka mwana akafa. Chingauraya mwana ipapo chiiko? Haa veduweeka ngatisatambudza moyo yevanhu vanobata zvigwere kusvika pakadai. Kana achikwanisa kubata mimba ane sare zvinotoreva kuti avata nomurume wake murume wacho asina kufa. Saka chinozouraya mwana ipapo ndechipiko.

Kana achitya kuti mwana pane zvaangaita anoudza madhokotera oitwa kuchekwa mwana obuda nepadumbu. Zvopera zvakadaro. HIV ndiyo yaungatya kubatisa mwana pakuzvara.

Anonymous said...

Mai Chibwe maita henyu norubetsero gwamunopa vanhu. Ini ndanga ndichishaiwa kuti ndowanepi ruzivo gwenyaya iyi ye Sare. Rondedzero yenyu ndaihwisisa chose. Rambai muchiisa zvinhu zvakadai paInternet. Chokwadi ndaingofunga kuti kunongowanikwa zvinhu zvechirungu chete. Rambai makadero!!

Anonymous said...

Mufaro kwamuri mese.Ini ndina sahwira vangu vanoita zvekubatsirwa kumapositori.nerimwe zuva ndakavaperekedza kune vamwe amai muJoni vechipositori ndikanzi imi amai ndaona mune sare muchazvara vana vachifa.kana kutadza kubereka zvamuchose,muchasiiwa nemurume nekuda kwayo.apa ndine mwana ane 1yr 4 months pavari kutaura izvi.zvikanzi kana mazosununguka mozouya isu kuno kupositori tinocheka sari idzi futi.

Now my point is i have a child already and of all the things you mentioned as possible sari hapana chandinacho.saka zvimwe kuda kubirana zvechokwadi.Ndinotenda netsanangudzo yamapa and kudzidzisa vanhu kwamuri kuita.

Mai E Chibwe said...

Tinotenda.
Mumhuri dzevanhu veZimbabwe maita matambudziko maviri ari kuuraya vanhu.

1 Vaporofita. Vanhu ava vese zvavo vanoudza vanhu nhema vachivatorera mari. Kumunhu ane dambudziko routano zvinowedzera nguva yokuti chigwere chaanacho chibate muviri chigozotadza kurapika paanozofunga zvokunorapiwa.

2 N'anga zhinji vanhu vasina kana chavanogona panyaya yokurapa asi kungoti vanoda mari yako, iri ngari yokuti kuchikoro havana kuenda saka basa rinonetsa kuwana.

Vakawanda vedu vanopedza nguva nevanhu ava nengari yokushaya njere dzokuhwisisa zvinhu. Hakuna munhu muZimbabwe aungawana angahi akarapwa nomuporofita. Hazviiti. Kana Bhaibheri rinotaura kuti kuchaita vaporofita venhema vakawanda. Ko sei vachingoita kuAfrica chete?

N'anga dzimwe dziriko dzinorapa zvigwere zvinorapika asi dambudziko ravo nderokuti mushonga wavo hauna mupimo saka unokwanisa kukuvadza TSVO dzako asi uku warapa chacho chaunoda kurapa. Asi vashoma chose vanotorapa chimwe chinhu. Vazhinji imari chete yavanoda.

Uchisvika pamusha wen'anga, kana pamsha pako pakasvinura kupfuura pake, dzokera mumota yako udhiraivhe uende kumba kwako. Uri kutambisa nguva. Chete kana chigwere chavapo munhu anoshaya njere oda kungozama zvese zvese.

Anonymous said...

Mai chibwe ndokutendai nekubatsira kwakadai.ndakabatsirikana chaizvo kubva ndichirimusikanaa now am married had my wedding recently.but mwana haasi kuuya.recently I went kumusha kuzim ndikachekwa sare raive panobuda netsvina ranga rati kurei APA ndanga ndisingazive kuti chandinacho ndochinohi sare.saka ndakachekwa last month hachisati chanyatsopora but I just noticed futi kuti chiripo chimwe maybe hachina kuchekwa chese or chimwe chirikumera handizive.ndakarwadziwa Mai chibwe during the time I was being cut ne this mukadzi wekumasowe and now to think of cutting this one futi I can't even imagine it.chekutanga chaicho ndakatomboti ndichaenda kwa doctor as I veukama vakandi discourager vachinditi ndosaka usiri kubata pamuviri.ndafara chaizvo when I saw this teaching of yours but at the same time am confused kuti ndodii nhai

Thank you Mai chibwe

Mai E Chibwe said...

Chokutanga hwisisa kuti vese vachena, vatema, maChaina, maIndiya, vese vanoita sare. Hwisisazve kuti hainei nokuita mimba saka hazvibatsiri kutaura zve SARE nezvemimba pamwe chete nokuti hazvitomborina kana kuwirirana pazviri. Saka apa uri kuti munhu akakucheka ndiye anogona basa iri kupfuura vese vanocheka zvemamwe marudzi here? Mamwe marudzi anoenda kuzvipatara saka isu tisu tisingarapiki kuzvipatara nokuda kweiko?
Chechipiri kuchekwa sare kungozvigwadzisawo hako nokuti unofarira nhema. Kumahosipitari sare dzinongosungwa dzofa kana kuti dzinochekwa patomboiswa mushonga wekutindivadza, kana kuti panoshandisa LIQUID nitrogen kufuriza. Zvinohi zvinogwadza asi hazvingafanani nokuenda kumunhu asingatombozivi zvaari kuita anotanga akuudza nhema kuti anyebere kukubatsira. Ko vanhu Seiko muchingofunga kuti zvechibhoyi ndizvo zvinoshanda ? Ndiyani murapi wechibhoyi wamunoziva akakurumbira Mupasi rese kuhi ndiye nyanzvi yokurapa?

Varapi venyu ivava ndivo vanokuudzai nhema muchipedzisira maremadzwa nazvo. Kuchekwa kwakaita wakambotanga wahwisisawo here kuti reza yacho taitwa STERILE? Ko day wakabata BACTERIA inoti ronda risapora waizodii? Vanhu kwanai veduwee, kwete kungoterera nhema dzamunoudzwa muraini. Zvinoita mari shoma kuenda kwaDOCTOR woudzwa zvokuita.

Ipapa hautombozivi kuti chawakachekwa chacho chii, pamwe wange usina chinoda kuchekwa. Ko seiko vanhu tisingadi kudzidza. Munhu akazviti ndewaMwari asi achireva nhema dziri pachena haasi munhu waMwari. munhu anotoda kukukuvadza.

Anonymous said...

Nhai inin ndine tumhopo kunobuda netsvina pluz tunenge turi kuita zvekare mukat me vagina yangu chingava chii

Mai E Chibwe said...

Zvinota kundotariswa nokuti vanhu vakasiyana vanoita zvakasiyana Chikuru kukasira kundoonekwa zvisati zvazara kuzasi kwese. Zvinokwanisika kunge dziri mhopo chaidzo kana kuti chiri chimwe chinhu. Ukaudzwa nhema nevanhu vasina njere ukandochekwa mwedzi unozopera zvatowandisa nokuti kana iri Virus kucheka kuya kwakafanana nokusima mbeu yazvo.

Synonymous said...

Thank you so much nedzidziso yakanaka....ini ndabetserwa zvakanyanya coz ini ndinawo kunobuda netsvina and ndakatombochekwa but radzokazve apa ndakarwadziwa zvisingaiti pandachekwa and kutaura kudai ndine vana 4 but ndinawo pandakachekwa Nadine ndaudzwa kut rinoita kut ndisemwe nemurume ndichambozama muti wemalemmon kana zvazoramba ndouya zvekwachiremba

Anonymous said...

Ndatenda hangu uye ndadzidza kuchiedza speed Ku hospital. Mai Chibwe stay blessed

Anonymous said...

Pane umwewo aiti aiva naro Sare achiti ndooraikonzerw kut asaroorwa akaenda kumasowe vakanomucheka izvozvi arikut iye arikutono bvisirwa.. Saka zvakamushandira..
Hameno kut ichokwadi here or zviringori psychologically

Mai E Chibwe said...

Iiiiii, veduweeka. Ngatisaita sevanhu vemuna 1496. Sare hainei kukuroorana kwevanhu. Sare chinongovavo chinhu chinoitiswa ne VIRUS. Manje n'anga nevaporofita vakaonawo kuti panokwanisika kuita mari ndokubva vakambhira kuti zvinoitiswa neichi neichi kuti vanhu vakasire kuzorapwa. Asi chokwadi ndechokuti ukanochekwa rinototi ridzoke futi. Iyeye ari kuti awana murume nengari yokuchekwa haasi kuzivi kuti rinodzoka futi uye kuwana kwake murume hakunei nesare zvinhu zviviri zvangoitikawo nguva imwe chete.

Kuti sare rinokonzera kushaya murume/mukadzi, zvakangofanana nokuti kutengesa nzungu pamusika kunoitisa maperembudzi. Vanhu verudzi gwedu kureverana nhema ndiko kwedu. Ukaenda kuChina, Japan, India, USA, Brazil, kana nyika ipi zvayo unowana vanhu vane sare, zvese varume nevakadzi. Hakuna anoti ashaya wekuroorana naye nokuda kwesare.

Unknown said...

Agreed! Ini I have always thought kuti ma fibroids. Ku America akazara ne all races

Mai E Chibwe said...

Ma Fabroids anoita mukati mechibereko. Kana ukamaita unakasira kundosukwa chibereko (unokwanisa kuita mazuva matatu muhospital) zvinopera zvese. Asi kana ukamanonokera unokwanisa kuudzwa kuti hazvichaiti saka vanobvisa chibereko zvoreva kuti hauchakwanisi kubata mimba.

Sare inoita paganda uye nechemukati mechitubu uye kumashure. Zvinoitiswa ne VIRUS yaunokwanisa kubata kubva kune umwe munhu. Zvakatosiyane nema fabroids. Zvikonzero zvakatosoyana.

Zvese zvinoda kuti ukaita wokasira kundorapiwa. Isu vanhu vatema tinozvikanganisira upenyu hwedu nokuti tinopedza nguva tichifunga kuti muroyi akonzera izvi abvepi uye n'anga ndoiwanepi, kusahwisisa kuti iVIRUS uye hakuna muroyi anokwanisa kukutumira VIRUS. Hakunazve n'anga inohwisisa zvema VIRUS. Ipapo wakamirira dambudziko riri kutowedzera uye richanetsa kubvisa kana wazoenda kuchipatara.

Anonymous said...

Eish thanks mai chibwe i was worried when i noticed these very small things pamatinji angu i was stressed thinking my marriage will break n i might lose my husband but when i read ur post i felt at ease now i can sleep peacefully

Mai E Chibwe said...

Veduweeka, musaita zvokutamba nemuchato kudai. Kana waona zvawaona kasira kundovhenekwa uudzwe zvauri. pane kutanga waita BP usingazivi kuti chii.

Ndatenda chose.

Anonymous said...

Thank you mai chibwe nedzidziso.asi ndine mubvunzo help me.ini ndinako kanhu ikako near my anus ndakakura ndichingokaona but hakatomborwadze kana chii.still should l go kwaDoctor kunochekwa.but also ndakatombotariswa naprivate doc akati everything is normal there. Asi ini ndinotokanzwa kanyama ikako near anus.

Mai E Chibwe said...

Kana kachingori kamwe chete kasingagwadzi, kasina kumbonetsa kana kuitisa zvimwe kuti zviitike, zvoreva kuti Private Doctor akatarisa akataura chokwadi. Hapana chokuzvinetsa kuita. Asi kana uchingodawo hako COSMETIC unotira hwarani yokusonesa wosunga kuBASE kweSKIN TAG iyoyo. woisiya yakasungwa. Ichashaya ropa yooma yongodonha yeya pasina kana ronda. Zvatopera.

Dai ichibereka zvana ndipo pataiti enda undoonekwa kuchipatara nokuti dzinokwanisa kuwanda.

Ngatihwisisezve kuti vanhu vane mumhu mukobvu vanorerekera kuita zvinhu izvi.

Unknown said...

Uum ndadzidzawo zvakawanda maita basa, ndine a friend ryt now she is worried also about these so called masare

Mai E Chibwe said...

Kana ari maSkin Tags tanga wamuudza kuti azame mishonga yakanyogwa pano.
Kana mushonga usina kushanda, vhiki yese, zama umwe.

Anonymous said...

Makadii, ini ndine vana vaviri. Wekutanga mukomana ane 13yrs naBaba vake takasiyana. Vechipiri ane 7 months musikana baba vake varikungotsika tsika havana muroora. Mukutaura nehama neshamwari pane akati ndine sare ririkundipa munyama wekusaroorwa nekuti ndiri kusemwa.

Gore rino ndipo pandakatanga kunzwa nezvesare. Ndakaramba kuenda kumuporofita kunotariswa nekuchekwa sare racho nekuti handina chandakaona chiri pandiri.

Mai E Chibwe said...

Ndizvo zvinotaugwa nevakawanda zvongoita sokuti iFASHION kuita sare. MuZimbabwe vanhu vanofarira nhema kupfuura chokwadi. Mazuvano varume vava kunetsa kuwana nokuti isu vanhukadzi vamwe vedu vanohura nevarume Sakavarume havachina COMMITMENT panyaya dzokuroorana.

Iwe apa uri kubvuma kuvata nevarume vasir vako kuita semukadzi wake saka kana awana zvese zvaanoda unozokuroora kuti awane chi pazviri. Mwana avapo, kana achida bonde iwe uripo, saka oroora kuti zvizodii. Hauna munyama. asi kuti unokasira kupakura sadza risati raibva. zveSARE izvo vanhuwo vanongoda nyaya newe uye kukutambisira mari nenguva. Hapana chauchawana pazviri. Chikuru kuronga kuti ungataridza murume rudo sei kuti muroorane. Hapana munyama zvachose. Hapana kusemwa. Kana pasina chauri kuona pamuviri wako zvreva kuti hauna sare.

Unknown said...

Ko kana une tumhopo pamabhora tunoitwa sei ?

Mai E Chibwe said...

Kana une chero chii zvacho pamberi, usina chokwadi kuti chi, uku uchiziva kuti wakambosangana nomurume.mukadzi wausingazivi STATUS yake, kasira kundoonekwa kwa DOCTOR uudzwa kuti chii chanacho. Kana chichirapika wokasira kurapiwa.

Unknown said...

Ini ndine mubvunzo ndakasanganawo neumwe munhu akanditi wakaisiwa sare nevamwe tete vako apa tete vacho ihanzvadzi yemurume kwakaroorwa sisi.saka hanzi vakakuisa pachibereko ndibatsireio zvingaitike here hanzi ndozvikusaka usawane basa uye kutsvinyirwa

Unknown said...

Sare idambuko guru rinoda kurapiwa pachivanhu nemunhu anoriziva ma doctor akakucheka rinodzokazve ini ndakaita nyama iyi ndine 17 yrs ndokuenda ku clinic nurse akanditarisa akandituka zvikanzi nokuti munorara nevarume muri vadiki muchitora zvirwere apo ndainge ndisingazivi murume ndokundipa matablets hobo ndakashatirwa ndokuarasa ndichibuda mu clinic nyama iyi yainge iri pakati panopinda nhengo yomurume kuti ndiione ndainzwa kudhonzwa zazi ndokutora looking glass ndakaonda kuita shamhu chaiyo apo ndaigara na stepmother mai vangu varikure ndakatya kuudza stepmother nokuti ndakafunga kuti vachataura zvimwe chete sa nurse ndikabhowekana hongu ndakaenda kumaprofita vaitaura zvakawanda ndakazoenda kuna amai vangu ndokuvaudza vakaseka ndikati mama regai kuseka maprofita are ndichafa vamwe vaiti ndichavharika ndikasazova neburi mai vakati kwete mwangu isare rinorapika kuna mbuya vanogona kurirapa 12 kilometres kubva kwataigara ma stepmother vakati kana ndadzokera kumusha stepmother vaende neni takatenga razor mbuya ava vakaricheka ndokuisa mushonga wakakachiwa ndokuurega uripo vakati manheru ndiubvise ndicharara pasi ndokundipa mumwe wokunwa kuitira maroots from inside kuti afe rikachekwa panze ukasanwa mushonga rinodzoka coz of those inside roots mutemo wokurapa sare mhunhu haadani muripi unomutenda chete akadana muripo rinodzoka ndene makore 48 now hamusati radzoka kunevazvinji vaichekwa nana chiremba richidzoka vatakaendasa vakaporawo uye chenjerai havasi vazhinji vanogona kurapa Sare

Anonymous said...

Mai E Chibwe ini zvangu it's different
My boyfriend hanxi isare because inomukuvadza kana tichiita sex
Ini handina chandodzwa even ndikaisa chigumwe
Saka munofungawo kuti chii

Beey said...

Nda ndatya chokwadi kuti zvno ndichadii ne Sare inyaya inotyisa kana usingazive. Thnx

Unknown said...

weduwe sare ririko for real. kuzoona munhu onachekwa sare, anenge apinda dambudziko rekufirwa nevana.

Unknown said...

Std mhanya kwadoc MA symptoms e hivs

Unknown said...

Std mhanya kwadoc MA symptoms e hivs

Unknown said...

Ndino shuvira an authoritative voice panyaya dzakadai. Ndaona tsanangudzo dzakasiyana apa, sare racho riri kumbonzi harina zita rechirungu rosanganiswa zve ne skin tags yakunzi ndiro sare chairo. I find myself more confused after reading this.

Lisa said...

Where is she found?

Anonymous said...

Ko rinorwadza here sari

Anonymous said...

Ndakaroorwa muna 2007; ndaitakura nhumbu dzichibva; ndakuenda kuzvipatara zvakasiyana nezvimwe kuSA, kuti ndinzwisise chaikonzeresa kubva kwemimba; all tests were done but maDoc aiti everything is normal. Ndaisa tenderana nezvechiporofita or n'anga so I kept on trying to have a baby. Pose pazvaiita sekudaro hanzvadzi yemurume ndiye aigarotaura neni kuti muroora endai munombotariswa Sare/sari asi ndaizviramba. Kusvika vazotaura nemurume asi ndikamurambira zvakare kusvika mumba musisina peace; akanditi kana ndisingade kunotariswa sari avakutsvaga mumwe mukadzi anomuzvarira; this forced me kuenda natete vaye kunechembere yaiita nezvemaSari. Takasvika ndikatariswa mbuya vaye vakati ndinaro nechemukati munopinda nhengo yababa. Ndakarichekwa Muna April 2017. As I speak i got my baby boy 2yrs old. Apa ndakabva mimba 4 times. Sari is real and rinoda anoriziva kuti ubatsirike

Unknown said...

Kune vose varikutaura zvekuti tine zvakati tazodai chino chocho.let me say this zviri kwauri mwene wejira kufuka kana kuri waridza.what I know is sare is real.ririko sare harina kutanga nhasi even vana mbuya vedu vekudhara vanoriziva so zvakwauri kuenda kuchipatara or not choice is yours so from wat I know is kana unaro sare pane zvaunotoona zvinoitika pauri disappointments,rejection from yr lover .kungovengwa usina chawatadza badlucks.but zvekuti rinokutadzisa kuita mwana I dnt think so it's a lie uye zvekuti rinoura mwana pakuzvara I dnt know about this one,talking from experience kana wada zvekuchekwa nemuporofita my advice is makesure hakubhadharise iwe ndiwe unofanira kumupa thank you.talking from experience thank you.all the best ladies remember to stay safe Corona Virus hairapike.

Unknown said...

Iiii kudzidza hakuperi ko ngatiti wa dhonza matinji pamaside ematinji nechomukati umu munobva mabudawo tunyama nyama tunongorembera turefu refu ndingashandisa hre mishonga iri pano iyi

Anonymous said...

Ini ndinaro sare rakabuda pedyo neburi retsvina apandine pamuviri pane 5months ndinoitase vamwevarikuti enda unochekwa ndodii

Unknown said...

Ini ndine pamuviri pane 8 months ndinewo kanyama 0r kaganda kakubuda mukunobuda netsvina uku kakatanga kurwadzira mukati now kanyarara asi kabuda panze so I am not sure I sare or? I am worried

Mai E Chibwe said...

Kana une mimba, kana une chimwe chausingazivi kuti chii, ita tsika yokuenda kuvarapi nguva ichiripo kwete mumbomira wobvunza pano. Isu pano hationi mamirire akaita zvaunazvo kureva kuti hatikwanisi kuti chii chaicho. Kasira kundoonekwa woudzwa zvokuita.

Mai E Chibwe said...

Apa ndiri kuti sare ndeiyi kana iyo. Vanhu havanatsi ubvumirana kuti sare chii chaicho. Asi pikicha maonere angu vanhu vakawanda vanofunga kuti vane sare vane ma SKIN TAGS.

Kwedu ndiko kune mufungo wekuti zvinhu zvine DANGER pazviri uye zvine chazvinacho ne mimba. Kune dzimwe nyika hakuna mufungo uyu. Ndipo panobva kusahwisisana kwedu.

Unknown said...

Inorapwa nemushona unonzii

Unknown said...

0782559559

Zimyard said...

Any one anoziva kwazvinochekwa in Cape Town plz text me on +27615458547 no app no calls

Unknown said...

Yooooh ai ilife sure Jesu ngachiuya kutambudzwa nenhemha idzi kupere kovarimo hre vakadzi nevarume mubible vaitonochekwawo masare aya or mifungo yevsnhu kosei Mwari vachitirega tichitambura zvkadai ini ndine early pregnant n i was bleeding so then i went to the clinic n the doc chck me he said the byb if fine bcz i thot i hd an mscariage but it wasnt so i thought myb it cn hlp to go kmaprofets ndkaenda vkndrmba vkpedza vkati ane sari riri mudumbu rinoda kudhonzwa so its 3 hundred r but hndsati ndmbonotisa zvinhu izvozvo kumasure kwangu and hndzive kna ndnazvo futi but ini hngu hndichekwe chinhu ichocho kudai mwari vatibatsira uye kudai Jesu achiuya tizorore ktmbura ukoku

Unknown said...

Inini mwana wangu atone 4years masare ndinao

veekay1 said...

Me too please help ndingabatsirika sey I think I might have it too

veekay1 said...

Vanoziva please help

Hdhchvc said...

Sare rinoita kuti tsvina irwadze here pakubuda kwayo kuita like une constipation so

Hdhchvc said...

Sare rinoita kuti tsvina irwadze here pakubuda kwayo kuita like une constipation so

Unknown said...

Kudzidza hakuperi chokwadi maitazvenyu ndabatsirikawo pano

Unknown said...

Kudzidza hakuperi chokwadi maitazvenyu ndabatsirikawo pano thank you

Anonymous said...

Saka kana une sari rekunobuda tsvina zvino affector mwana here kana munhu akazvitakura