Sunday 1 September 2013

Kuwanzisa kunyorova pakurhojewa

Vakawanda venyu vari kubvunza nezvenyaya yokuwanzisa kunyorova kana waita zemo kana kuti muchirhojana nomurume. Iyi inyaya yedu tega asi ukaterera varume vachipopota nezvazvo unohwisisa kuti ivo vanoshushikana nenyaya iyi.

Pakurhojana panoitika nyaya dzakawanda dzinoshusha vanhu zvokuti dzimwe dzacho hadzina ane hanya nadzo asi dzinokwanisa kukushungurudza, zvikuru kana uchifunga kuti ndiwe wega uri kuzviita. Pozotiwo dzimwe nyaya dzinoenderana nokudzvanyirigwa kwevanhukadzi nokuda kweCULTURE yedu nedzimwe dzinoitiswa nouGINO hwevaiti panyaya dzemashandire emiviri yevanhu (BIOLOGY) zvokuti vakawanda vanotadza kuhwisisa kuti zvimwe zviitwa zvavo zvinokuvadza muviri.

Nyaya yokunyorova murume asati apinza chombo inyaya inofanira kuti uihwisisa zvakanaka uye kukurudzira murume wako kuti azive kuti unofanira kunyorova asati apinza kuti zvirege kukugwadza kana kukutsemura tumitsetse (very thin skin cracks inside) mukati mechitubu zvinova zvinokwanisa kukubatisa zvigwere. Chinozoitika ndechokuti vamwe vedu havanyorovi zvakakwana kusvika pokuti vanotoda kuwedzera kunyorova kwacho nokuisa mate kana kuti imwe inohi KY jelly inotengwa muCHIMIST. Ndakanyora kare nenyaya yevasinganyorovi saka kana uchida kuiverenga enda hako uverenge pakahi "Mukadzi asinganyorovi" Ndichaisa link yacho kana ndapedza kunyora pano.

Kozoitazve vamwe vanoti akaita zemo obva atanga kunyorova zvokusvika pakueredza chaiko zvokuti pamunoisana mese munokwanisa kusanyanyonakigwa nazvo. Munosvika pakutoti mopota muchimira mukadzi wombopukuta motangazve, onyorovesazve, momira opukuta, muchingodaro kusvika mapedza. Kunyorovesa uku ndiko kwatiri kuda kumboongorora panyaya ino kuti tione kuti pane chingabatsira here vanozviita nevarume vavo kuti vawane mazano.

Kunyorova haisi mvura asi ioiri yokuti mukati mechitubu mutsvedze apo muchikoirana chombo chichipinda nokubuda chichikwizira madziro echitubu, mukadziwo achipota achishinya chombo kuti chiwedzere kukwiza kuti munakigwe nazvo. Pakashaikwa oiri iyi mese munokwanisa kusvuuka mokuvadza ganda romukati mechitubu, mangwana mutadza kuisana makamirira kuti mukadzi apore. Saka DESIGN yacho yechitubu inoti ukangotanga TRIGGER yezemo mufungwa, sokuti pauviri hwenyu ukangoona chinhu chinokufungisa kuiswa, usati watombofunga kuti unoda kuiswa, kuzasi kwenge kototanga kunyorova. Kunotanga fungwa yako yokuda kupinzwa chombo isati yatombonyatsokwana. Zvakafanana nokubwaira kwemaziso kokuti hautombozivi kuti wabwaira. Saizvozvo hauzivi kuti watanga kunyorova.

Saka apa taona kuti vanhukadzi pakunyorova vane mabato matatu
1 Vasinganyorovi vanova vane dambundiko guru.
2 Vanonyorova zvakakodzera zvinova zvinofanira kuita vese vese
3 Vanowanzisa kunyorova zvinova zvatiri kutaura nazvo pano.

Kuwanzisa kunyorova kunoitiswa nei?
 1 Kana ukatanga kushandisa mapiritsi ekudzivirira mimba unokwanisa kuwedzera kunyorova kana kuwedzera kusanyorova zvichibva nomuviri wako.
2 Kana ukachinja mapiritsi ukatanga kushandisa erumwe rudzi

3 Pamwe zvinoitiswa nenguva yako yemwedzi. Vamwe vakadzi vanowedzera kunyorova pakati pomwedzi kana imwe nguva.

4 Uri munhu anoita zemo rakawanda zvokuti unonyorova kusvika pakuvhinza.

Kana waisambonyorova sezvauri kuita iko zvino zama kuongorora kuti zvakatanga riini ugoona kuti pane chimwe chinhu chakatangawo nguva iyoyo here.

Kuti uone senyaya inonetsa unenge uri munhu aimbova ainyorova zvaunofunga kuti ndizvo zvakanaka ndokuzowedzera. Kana wange wagara uchingonyorovesa, haungazvizivi kuti zvakaipei kana pasina murume akuudza, kana kuti wakaterera vamwe vasikana vachitaurirana.  Kune varume vanotaura nezvazvo dzimwe nguva vachiti mukadzi ane mvura yakawanda haanaki. Hino iwe ukahwa zvakadai ukafunga kuti haunaki zvokudya moyo wofunga kuti zvinobva pakunyorova kwakawedzera, izvo kunyorova kwako hapana chakwakaipa.

Kazhinji munhu anonyorovesa akavata namanhede pakurhojana nomurume, murume woinda pamusoro voitana vakadaro, pavanopedza pamubhedha panenge panyatsonyorova kuita guvi. Tese tinonyorovesa hedu mubhedha zvokuti tinotofanoisa tawero pasi pechiuno kuti mubhedha usanyorova zvingakwanisa kushaisa hope. Vamwe vanoitisa guvi. Ndizvo zvinonetsa vamwe izvozvo. Psychology yedu inotinetsa kana mubhedha wanyorova pabasa. Zvoita sokuti kunyorova kuya kwabva pamwe pasinei nezvamange muchiita.

Varume vekumwe
Kunyika dzakaita seUSA, EUROPE varume veko vanotowedzera zemo kana vakaona mukadzi awanza kunyorova nokuti zvinoratidza kuti ane zemo rakawanda kureva kuti anoona murume somunhu anoti akamutarisa oita zemo. Murume ari SEXY. Havatombozivi kuti zemo ndiro haro asi mukadzi munhu anongonyorovawo hake kudarika vamwe zvisinei kuti ane murume upi. Varume venyika idzi vakawanda vanotofarira kuona mukadzi akanyorova.

Varume vekwedu
Vokwedu varume vanoda mukadzi asinganyorovi wavanogwadzisa pakupinza chombo. Mafungire evedu varume ndeekuti mukadzi ngaakauriswe nechombo. Zvokuti anakigwe sezvinoita murume zvoonekwa sokuti kumujaidza. Kotiwo vakuru vedu kumadzimai vaiva neCUSTOM yokuderedza kunyorova vachitotsvaka mishonga yokuti mukati musanyorova kuitira kuwedzera kukwizana kana murume ari mukati. Zvaiitisa kuti murume kana oda kuvata nomukadzi wake aisambotora nguva achirezva mukadzi kuti anyorove asi kungobata mukadzi womupatsanura makumbo wopinza chombo zvokufosera mukati, sezvinoita mhuka dzesango kana mabhuru emuraini. Vakadzi vaionekwa sokuti varipo kunakira murume chete kwete kuti vanakigwe nomurume.

Vakadzi vakaona kuti nyaya iyi haigadziriki ndokutanga kutsvaka mazano okuti murume ambomiramira achicherekedza pamberi pamwe achipabatabata akamirira kupinza. Ndipo pakabva nyaya yokudhonza matinji kuti murume ambowana chokukatyamara nacho mukadzi achifanonyorova. Hazvina kushanda nokuti varume havadi kutarisa pamberi pomukadzi. Vakadzi vakapedzisira votsvaka mishonga yokudzivirira kunyorova kuti tese tifanane pakusanyorova.

Ukaenda kumamisha unohwa vakadzi vachipanana mazano okusanyorova.
Kwahi cheka cheka sipo yejerimani wondonyera muchitubu nguva ichipo, wozobvisa kana moda kuisana
Vamwe vanochera midzi vonyika mumvura vogeza nayo zasi manheru voda kundovata.
Vamwe vanogeza nemvura ine munyu.

Varumewo unohwa vachinyora mwadhi vachiti
"mukadzi wangu imvura dzega dzega, ndodii. "
"Musikana wangu anowanzisa mvura, ndodii"

Zvinobva pakuti haasi kushinywa chombo kana ari mukati, kana kuti ane kachombo kadikidiki kanoita sehove iri kudhidha mubhavhu kana ari mukati memukadzi kana upi zvake. Murume ane chombo chiri pasi pe 8cm pakukora anoita dambudziko iri.

Zvese izvi zvinoiswa mukati mechitubu zvinokuvadza ganda remadziro echitubu. Zvinokanganisa LINING yemukati mechitubu. Zvokangansazve PH yomukati mechitubu zvokuti unokwanisa kutadza kubata mimba kusvika PH yagadzirika. Tinofanirazve kuziva kuti maitire awa ese haana RESEARCH yakaitwa vanhu vasati vatanga kuudzana kuzviita. Mukati mechitubu munofanira kungopinzwa chombo neTAMPON chete Zvimwe zvese regai kupinza. Kana mvura haifaniri kuiswa mukati mechitubu.

Kusanakigwa nokunyorovesa.
Ngatitange apa nokuti vanhu vane dambudziko rokusanakigwa kana mukadzi anyatsoeredza vashoma. Zvinoonekwa kuti pavashoma ava kunyika dzakaita seUSA zvinoitisa kuti vese vasanakigwa zvinhu zviviri zvinoti:

1 Murume akachekwa ganda saka hapana chinokokokota madziro achitubu chomukadzi pakupinda nokubuda kwechombo vachikoirana. kuUSA varume mhomho yese vanochekwa.
2 Kana murume ane chombo chisingazadzi chitubu chomukadzi wake kana kuti mukadziwo asina kusimbisa masuru yechitubu asingagoni kushinya murume wake. Zvinoreva kuti kukwizana mukati makanyorovesa kunonetsa kuzhe kwekuti pakukoirana kwavo vanoita maitire anoti chombo chinobata kumativi, kwete kururamisa nepakati. Itai umwe akatsveyama.

Mazuvano
Mazuvano nokutsvangamuka kune varume vashoma vava kutozivawo kuti kunakira mukadzi chinhu chakanaka nokuti anowedzera kukuda. Saka vamwe vava kumirira kuti mukadzi anyorove uye vava kuziva kuti kubatabata mukadzi muviri wake nokumbomukisa nokumwa minyatso yake nokupurudzira zvimwe nokukwenyerera pamberi, zvidya, kuseri kwemabvi, nokumbomiramira pabhinzi zvinokwidza zemo nokuwedzera kunyorova. Paanozopinza mukadzi anokasira kusvika panosvikwa. Varume vemazuvanowo vava kuverenga zvokuita mumabhuku uye paINTERNET. Koitazve vanoona mafirimu anohi epono anotaridza nhema zvokuti varume vanozviona vanofunga kuti havagoni kuisa. Izvi zvava kuitisa varume kuda kuwedzera unyanzwi hwavo parhoji.

Asi nyaya yokueredza kwemukadzi unongotaugwa zvichiita sokuti chinhu chakaipa. Kueredza chinhu chakanaka pakuti kukwizana kwechombo nemadzirpo echitubu kunoita kushoma murume wononoka kupedza. Asi iko kuderedza kwacho ndiko kunoita varume vakomburene nazvo. Kunesu vanhukadzi chikuru kuona kuti bhinzi iri kushandiswa pamunoisana. Murume anosvinyanga bhinzi kana kuti mukadzi anozvikwizirira bhinzi murume achikoira, kana kuti murume anotsimbirira bhinzi akavata pamusoro pemukadzi zvokuti pakukoira anokwiza kana kutekenyedza bhinzi.

Zvokuita kana uchifunga kuti unonyorovesa. 
1 Chokutanga ndechokuti ukafungira kuti uri kuwanzisa kunyorova, taurirana nomurume wako muhwisisane kuti zvinokonzegwa nei uye iye anofungei nazvo. Kana achizvifarira iwe chirega kuita hanya nazvo. Rega zemo rikwire ueredze zvakadaro.

2 Musati matanga kuvatana tora tawero guru uise pamubhedha. Pamwe ungada kupeta tawero rako kuti kunyorova kusasvika pamubhedha.

3 Torazve chimwe chitawero chidiki chinogara pedo kuti ukahwa kuti kuzasi kuri kuwanza wopota uchipukuta. Pukuta murume asati apinza pokutanga. wozotizve paya pamunombomira muchichinja maitire, wopukuta futi.

4 Ukaenda kwaDoctor, zvikuru munyika dzakaita seUK, USA, unonoudzwa kuti siya zvakadaro. Izvi hakusi kuti havahwisisi zvauri kutaura asi kuti vanoona vakadzi vakawandisa vane dambudziko rokusanyorova zvokuti iwe ukazoenda uchikomburena nokunyorova vanoona sokuti unodada. Vanozivazve kuti kana wava kutanga imwe nguva inohi MENOPAUSE unokwanisa kuoma zvinokutadzisa kupinzwa chombo saka vakafanokubatsira kuoma, paunozotanga nguva iyi unowedzera kuoma zvinova zvinokunetsa. Kana wafunga zvokuenda kwaDOCTOR, enda kune inohi SPECIAL CLINIC kunorapiwa zvigwere zve chihure nokupiwa makondhomu. Ikoko vaudze kuti une dambudziko iri. Vachakubvunza mibvunzo yezvokudya zvako nemapiritsi auri kumwa kana kuti awakambomwa vokuudza kuti zvabva papi. RHIZENI yokuenda uku ndeyokuti kune madhokotera echikadzi akawanda. Asi rega ndikuudze kuti havaoni sokuti kunyorova idambudziko. Vanotoona sokuti chinhu chakanaka chose.

5 Hwisisa kuti kunyorova kwauri kuita hazvirevi kuti uchagara wakadaro. Makore ako okuzvagwa achiwedzera kunyorova kunoderera. Kuderera uku kunowanzotangira pamakore 40 muviri woziva kuti hauchinei nokuita mimba.

6 Tanga nokusimbisa masuru. Verena pano pa BLOG pakahi kusimbisa masuru. Tanga kuzviita. Zvinobatsira mese pakuisana.

7 Shandisai maitire asinganyanyi kuvhura chitubu, (Pakicha makumbo ako pamafudzi ake kana uri pasi. Kana wakavata nedumbu rega kupatsanisa makumbo. Ingosimudzira chiuno chete apinde, adaro shinya chombo makumbo ari pamwe chete iye akakutanyanga. Ukafongora makumbo ngaagare pamwe uwane mukana wekushinya chombo. Kana wakavata nedivi wakamufuratira gonyesa makumbo asi ngaagare ari ese. Zvinokuitira nyore kushinya chombo.

8 Unokwanisa kumwa mushonga wegosoro unohi ANTIHISTAMINE unononotsa kunyorova asi muviri wako ukazozvijaira, zvinozokunetsa kusaishandisa.

9 Geza nemvura inotonhora pakugeza paya musati matanga. Kana mune firiji gadzira ma ICE cube woisa mumvura yokugeza pamberi kuti itonhore chaizvo, kana wada, isa ICE CUBE pamberi wapedza kugeza. Paunozoita zemo ropa rinenge riri kure. Usaisa Ice cubu mukati mechitubu chero zvodii.

10  Jairira kuiswa wakafongorera murume. Ropa riya rinomhanyira zasi rinoita shoma saka hakuwandi kunyorova sezvaunoita kana wakavata manhede. Chimwezve kupakicha makumbo pamafudzi emurume mabvi ova pachifuva. Wokurudzira murume kuti asangopinda nokubuda akarurama asi kupota achiita seari kukurunga bota.

11 Pakufunga zviri mberi uko chinja zvokudya zvako uwedzere muriwo (Green veg) wodya muriwo yakasiyanasiyana. Muriwo ine zvinoitisa kuti mukati mechitubu muve REGULATED zvakanaka. Zvadaro bvisa fungwa yako pazviri ungoisa fungwa pakufadza murume nokunakigwa kwako.

12 Hwisisa kuti chese chinoitika pamuviri wemunhu chisingadiwi kana kuti chisingasiitiki pamunhu, chine chikonzero. Kazhinji zviri pazvokudya zvako kana kuti pazviito zvako saka ukahwisisa nyaya yako unokwanisa kuigadzirisa.

13 Hwisisazve kuti kusanyorova chinhu chisina kunaka. Kuwanza kunyorova chinhu chisinganakidzi vamwe asi hachisi chinhu chakaipa. Pachaita nguva yauchatadza kunyorova uye achagwadziwa pakupinzwa chombo. Varume vanofarira kuvata nevakadzi vavo upenyu hwavo hwese asi vakadzi vanotambura ne MANAGEMENT yechitubu kana vava kumakore anopfuura 40.


Zvokusaita:
Kuisa sipo mukati mechitubu
Kuisa munyu mukati mechitubu
Kuisa chimwe chinhu mukati.

Unozvikuvadza nokuda kuwedzera kunakigwa wozopedzisira woita makore nemakore usingagoni kuiswa nomurume wako. Usazouya pano woti unoda mazano okuti murume asakuhurira. Munhu chengetedza maturusi ekufadza nawo murume. Kana zvichikunetsa wedzera chikapa. kwira murume, simbisa masuro, dzidza zvimwe zvokunakira murume nazvo kwete kuzvikuvadza.

Ndicharamba ndichitsvaka mazano okuita kuti dambudziko iri riite shoma asi zvokuomesa chitubu regai, zvikuru kana uchivata nomurume pachihure nokuti kana ane chigwere unokasira kuchibata kana chitubu chisina kunyorova.

UDZAI VAMWE!!!!!

10 comments:

shepherd said...

Kana nesuwo ana baba tinoto totesawo, dzimwe nguva kuto yerera pakutosvika pakutotesa pant ne trouse racho. Asi oiri yacho yakachena kuita clear semvura chaiyo asi ichitsvedza.
Dzimwe nguva tisu anababa tinowedzera kutota paku rojana.

Mai E Chibwe said...

Ichi ndicho chokwadi. Zvikuru murume akamiswa chombo nguva refu akashaya zvokuita nechombo chimire asi zemo riripo, anotanga kubudawo oiri iyi zvinova zvakaitigwa kuti vese murume nomukadzi vabatsirane pakunyorovesa mukati mechitubu.

Asizve mukadzi kana zvese zvakanaka paari anoita kunyorova kwakadarika kwemurume. Sezvataona kuti pane mabato matatu kuvakadzi, nokuvarumewo zviriko. Saka apa tiri kuti pakaita vaviri vese vari mubato rokuwanza, panoeredza ipapo vachirhojana.

Anonymous said...

Ichokwadi mai amai chibwe kuti mukadzi anofanira kutota first musati matanga kurhojana. Ndinomboverenga nhau dzekurhojana mumaarticles akasiyana siyana asi ndinoona sekunonzi murume chete ndiye anofanira kutotesa mukadzi wake kuburikidza nekumuita zvose zvinoita kuti atote, so mubvunzo uri pakuti ko vakadzi havafaniriwo here kuita kuti murume atote. Ndinoona sokunonzi varume ndivo vanofanira kutanga nyaya dzerhoji mumba all the tym of which i disagree to that.

Mai E Chibwe said...

Nyaya yokuti mukadzi anofanirawo kuitei ndakainyora kare uye ndainokurudzira vakadzi kukwanisa kutaurira varume vavo kana voda kurhojana navo uyezve kuita zvimwe zvinokwezva murume kana kumupa zemo. Asi kazhinji murume ane utano haanetsi kumisa chombo asi mukadzi anononoka kunyorova zvokuti murume ndiye anomirira.

Murume akakumirira wanai zvokufanoita. Kukisana, murume kusveta minyatso yemazamu omukadzi. Kunanzva mutsiba nezheve. Kupurudzira muviri wemukadzi zvikuru zvidya nemagaro nedumbu. Kukwizirira nyama dzakatenderedza bhinzi.

Mukadziwo kukisa murume. Kupurudzira chombo chimire. Kutamba nabhora emurume. Munanzva minyatso yemurume. Kuvhura makumbo kuti murume atambe nebhinzi. Kuudza murume zvaunoda kuitwa. Nezvimwe zvinodiwa nomurume

Anonymous said...

ko nyaya yekuroorana mitupo yakafanana muchaibatawo riini. ndinodanana nemusikana ane mutupo mumwe neni. Vanhu varikunditi hazvitwe asi hapana anombondipa chikonzero chaicho chinobatika, ndodii

Anonymous said...

Nyaya iyi ndeyo uko kwakahi "Kudanana nehama usingazivi"

Ndaikopera ikoko

Anonymous said...

Mukadzi anonyorova zvikuru kuru ini ndingamuda ini.
It shows kuti arikunakirwa zvisingaite. Question to you mai Chibwe, ko zviya zvinomboratidzwa pama porno,mukadzi achiita hokutushuka mvura pachitubu,is it healthy,is it posible? Kana mukadzi wangu asiti amboita saizvozvo,does it mean kuti handisi kugona rhoji???

Mai E Chibwe said...

Vanoita research vakanyora kuti varume vanofarira kugaroona mafirimu epono vanozopedzisira nezvinhu zviviri zvisina kunaka zvinoti :
1 Chombo hachimiri nesimba sezvinoita chomunhu anomiswa chombo nokufunga kurhoja mukadzi wake.
2 Kunakigwa nekurhoja kunoita kushoma nokuda kwekutindivara fungwa pakurhojana.


Anonymous said...

Thank u mai chibwe nekujekesa kuti porno dzinonyepa.vamwe vakadzi paya vanotozhamba zvisingaite.zvekuti kune wako hauzombove nechekwadi kuti uri kugona kuisa

Unknown said...

Ndingaitei kuti ndiwedzere mvura