Saturday 26 April 2014

Kuhurira mari yechikoro na SugarDaddy

Chii chatingabvumirana panyaya yomusikana anohurira mari yechikoro, ana kuti murume mukuru anovata nechana chechikoro kuti abvume kuchibvisira mari yechikoro?

Mubvunzi munhu akura hake uye akadzidza asi achiri musikana akaita nguva yaaivata nomudhara aimubhadharira mari yechikoro. Ikozvino, (28 years later) achiri kutambudzwa nezviitiko zvenguva iyi.

Hwisisaizve kuti zvinoitika kunyika dzakawanda izvi. Kuno ku UK zvakawedzera chose kuvasikana vanoenda kuUniversity mazuvano. Inotova nyaya huru asi kuno hako chihure hachionekwi sechinhu chakanyanyoipa. 
Iwe unofungei nenyaya iyi? 
Wakambozviitawo here iri ngari yokushaya mari?


Kana une ruzivo ndinyorere ku maichibwe@yahoo.co.uk

1 comment:

Anonymous said...

Mwana sikana avakuyenda kuUniversity anowonekwa semunhu abva zera. Neimwe nzira tingati ava mu "open age group". Dambudziko nderekuti mudhamu iri maava kutihwinha mune dzinameno. Kutotamba wakachenjera kuti abude ari mupenyu asi mavanga hapana unobuda asina.

Amai ava mgavasaramba vachizvidya mwoyo nepfungwa dzezvakaitika. Hakunazve unekodzero yekuvatongesa nekuti hatizivi chakakonzeresa. Kuda hwayiva hwanana kana kushayiwa nzira yokuti vazvibetsere pachavo. Chavanhatoita ndechekuzvipikira kuti hakuna mwanasikana wava achashaya mari yechikoro kusvikira pakufamba nzira yavakafamba ivo.

Vazhinji vane zvavakavandisa muhana dzavo zvidingatauriki pavanhu. Dbudziko nderekuti vangagarisana seiko nendangariro dzavo. Ndinowona vanoda "therapy" nekuti vanofunga kuti ndivo vega. Iyi yakatotewuka haichadyorerwi.

Tichitaura kudai zviri kutoitika zvichiwedzera kuti vana sikana vanovatirwa mari "yetuition and up keep" kumaUniversity nekuwoma kwaita upenyu. Hongu zvakashata asi ndizvo zvirikutoitika. Zvakashatisisa ndezvekuvata nemadhara iwaya nobwoni bwowunjire. Vazhinji vari kuzviita naizvozvo idambudziko chairo