Wednesday 5 November 2014

Zviminyamutundo

Zviminyamutundo (stretch marks) zinowanikwa pavanhukadzi kupfuura pavanhurume asi variko vanhurume vanazvo. Koita vakawanda vanazvo vasingazvifariri asizve kune varume vakawanda vanoona zvesvinhu zvakanaka uye zvinoyevedza kan zviri pamunhukadzi.

Zvinowanzoitika pamakumbo kwese kuzvidya nokumupimbira zvichiwanzoonekwa kumashure. Zvoitikazve pamaoko kuno kumusoro koinda kumafudzi. Zvoitikazve padumbu kana pamazamu. Vamwe vanozviita pamagaro nomuchiuno.

Zvinoitiswa nei:
Ganda remuviri wemunhu rune makanda matatu (three layers).
Kunoti repamusoro rinova ndiri ratinoona pamunhu,
Koti repakati rinova rine midzi yevhudzi.
Kozoti repazasi rine tsinga dzeropa dzakawanda

Makanda awa anokura nokutatamuka zvakasiyana zvokuti kana ukakasira kukora ganda repakati rinobvaruka zvoonekwa paganda repamusoro sechiminyamutundo.

Chikuru chinoitisa zviminyamutundo pamunhu kukasira kukura panguva dikidiki, Sokuti musikana kana ava kuita mhandara anokwanisa kukurisa panguva diki oita zimuviri. Ipapo anobva aitavo zviminyamutundo pane zvimwe zvemuviri wake.

Koitazve kuti munhukadzi akaita mimba anokura dumbu nenguva shomanana obva aita zviminyamutundo padumbu.

Kotizve mazamu akakasira kukura, sokuti musikana nguva yaanoita mhandara ine mazamu makuru, mazamu okura nenguva diki anobva aita zviminyamutundo. Kune vasikana vane zvizamu zvidiki hazviitiki.

Kana watoita zviminyamutundo, zvinonetsa kuti ukwanise kuzvibvisa. Zvikuru kana waita padumbu iri ngari yemimba. Vanhukadzi vakawanda vanoti mimba ichizvara, zviminyamutundo zvisati zvapera iye woita imwe mimba dumbu riya rokura futi.

Chimwezve chinokonzeresa kuti muviri wako unge uchigadzira HORMONE inohi CORTISOL yakawandisa. Koitazve vamwe vanhu vanoshandisa mishonga inohi ma CORTICOSTEROID zvisirizvo. Izvi zvinokonzera kuti ganda repakati risatatamuka pakukura kwemunhu robva rabvaruka roita chiminyamutundo.

Muviri wemunhu unokura kana akatanga kudya zvokudya zvine mafuta akawanda. Unoona vanhu vanoenda kunyika dzinotambigwa mari yakawanda vachibva kwedu, vanoramba vachibika nemafuta ekubikisa semaitire ekwedu asi zvozosiyana kuti havashandisi simba pamagarire avo nokuti hakuna mimda uye kune mabhazi nemota zvokufambisa kwese kwese kwawada kuenda saka ENERGY iya aichina kwekuishandisa. Munhu oramba achidya oita muviri mukuru zvidya, mazamu, magaro, tsvpfu zvese zvokura nokukasira woona pave nemitsetse.


Kurapa zviminyamutundo
Zvinorapwa nokugara gana rankanyorova ne mafuta. Kana une mimba kana kuti iri nguva yako kana yemwana wako kuti akure kuita mhandara, unofanira kukurudzira mwana kuzora mafuta akakondera zviminyamutundo zvisati zvatanga. Zvikuru kana munhu ane mumhu mukuru. Vanhu vatete havawanzi kuzviita kumakumbo, magaro mazamu kana musana sezvinoita vakobvu.

Vamwe vanoti kana waita mimba shandisa zvinhu zviviri padumbu zvinoti mafuta zvoti urume hwemurume kugarozora paunohwa pachitatamuka sepakapoteredza guvhu. Urume hahunetsi kuwana. Kana muchivatana paya murume oda kudiridzira anongobudisa chombo chirutsira padumbu iwe wopukutirapo sezvaunoita mafuta. Wombosiya zvakadaro wozonogeza hako pamboita nguva kana kungosiya kuzvika mangwana wogeza wozora mafuta.

Kotizve murumewo ngaaita nguva achipurudzira dumbu romukadzi wake ane mimba. Sokuti muchiona TV paya musina henyu chimwe chokuita. murume anokwanisa kuwana nguva yokupurudzira ~(Light massage) dumbu. Mukadziwo haangashayi chokutamba nacho pamurume wake panguva imwe cheteyo. Zvikuru kana iri mimba yokutanga.

Kune vamwe vanhu vanoona urme sechinhu chine tsvina zvokuti vamwe vakadzi vanongoti akapedza kurhojewa otosimuka onogeza. Chinozoshamisa ndechokuti kana urume iri tsvina sei uchiregera murume achihubidisira mukati mako mahunopedza vhiki yese hurimo? Hapana chakaipa urume kana murume wako asina chigwere.  Kana watobvuma kurhojana nomurume wako chihwisisa kuti uchatopiwa urume chete. Iwewo kuvhurira murume kuti akupe urume saka nani kutohushandisa mabasa ese ahunogona. Jairana nourume hwemurume wako. Iyewo achikuona uchitamba nahwo anowedzra zemo futi okupa humwe futi.

Varume:
Kune varume vanoti akaona zviminyamutundo otomira chombo. Kwahi zvinoitiswa nemamirire (DIRECTION ) yazvo nokuti nezita razvo zvinova zvinoita kuti murume afunge kuweta kwemukadzi weti ichibva pamberi. Murume kazhinji akangofunga pamberi pemukadzi chombo chinomira. Varume vakadai ndivo futi vanoti akakuona uchiweta otoita zemo. Zemo iri hariitiswi neweti asi kuti murume anofunga pari kubuda weti yacho obva aita fungwa dzekuvata newe.

Koitazve varume vasingafariri zviminyamutundo izvi. Vanofarira makumbo akatsetseka pamunhukadzi. Iwe hwisisa murume wako kuti zvinhu zvaanofarira ndezvipi. Uyezve hwisisa kuti ndiye anokuona usina kupfeka kureva kuti anoona muviri wako wese sezvauri. Hino unokwanisa kuzviita pamazamu, magaro, makumbo nepadumbu zvoreva kuti chero paatarisa anozviona. Iwe hwisisa kuti anozvifarira here kana kwete. Kana wafunga kuti haazvifariri, enda undotenga madhirezi ekuvata nawo, akanaka zvokuitisa murume zemo, Wadaro wogaropfeka pakunovata kana kuti pakumuka kuti murume aone muviri wako wese asi asinganatsikuona zvakaita ganda rako. Zvimadhirezi izvi hazvidhuri asi zvimwe zvacho zvakanaka chose uye kune varume vakawandisa vanozvifarira kuona.


Vakadzi:
Zviminyamutundo pamakumbo. 
Vakadzi vakawanda havadi kuita zviminyamutundo saka unoona vachipfeka nhumbi dzinozvivhara. Vamwe vashoma havanei nazvo. Vanongoona sokuti zvinhu zvinoitika kuvanhu saka hazvinei. Mazuvano vanhukadzi vanoudzwa zvakawanda panyaya dzemiviri yavo, zvokuti vanogarofunga nazvo. Saka uchaona kuti vanhu havachadi kuonekwa vane zvinhu izvi. Asi kana waita mimba kashoma kusazviita padumbu.

Kana ukazviona zviri pamunhu ane ganda risina kunyanyosviba hazvina kunaka.

Varume: 
Kana murume akaita dumbuzenene, zvikuru nokumwa doro kana kushaya Discipline pakudya, anokwanisa kuita zviminyamutundo padumbu kana maoko kana makumbo. Isu vakadzi tisu tinofidha varume vedu. Ngatidzidze kufidha zvakanaka. Kurega murume achikoresa kutomuuraya, nokuti anokwanisa kuita TYPE 2 Diabetes kana kuita heart condition.



Udzai Vamwe !!!!!!

4 comments:

Anonymous said...

Ko ichokwadi here kuti mukadzi anazvo anonaka kuvatana naye kana kuti kungotaura kwavarume?

Mai E Chibwe said...

Kunaka kwemukadzi kwakasiyana nokunaka kwemurume nokuti kuri mufungwa yomurume, hakusi pamukadzi uye hakuwanzi kuva nei nezviito zvomukadzi pakuvatana kwake nomurume. Murume akabva atarisa mukadzi akafunga kuti mukadzi uyu akafita kunaka chose, paanozovata naye anomunakirawo chose. Saka kana fungwa yake ichiti mukadzi ane zviminyamutundo anonaka, paachavata naye achiona zviminyamutundo achanakigwawo naye.

varume vanozvinhu zvavanofunga kuti zvinoitisa kuti mukadzi anake pakuvatana naye zvisinai nokunaka kwekuvatana nomunhu zvinoti magaro, matinji, mazamu, muromo, Zvese izvi hazvinei nokunaka kwemukadzi asi varume vanokuudza kuti mukadzi ane matinji makuru anonaka. Zviri mufungwa chete.

Mukadzi wese anonaka. Asi kana akahwisisa kutchinja attitude yake pakubata murume, anowedzera kunaka. Akazionekwawo ane zvimwe zvinohi zvinonaka, anowedzera futi kunakira murume.
Varume ndivo vasinganaki vese. Asi akadzidza kunonoka kudiridzira mukadzi anobva atanga kunakira mukadzi

Anonymous said...

Ndatenda, asi mune shoko ramataura rokuti varume havanaki vose. Ndezvipi zvinoita kuti murume anake. ini semurume ndinoda kudzidzawo.

Mai E Chibwe said...

Kunaka kwemurume kunobva pane zvakawanda asi zvikuru zvacho zvinoti

1 kuratidza rudo kumukadzi
2 Kupa mukadzi rusununguko gwekutaura zvaanoda uye zvinomunakira kana abvunzwa
3 Kuratidza kuda nokufarira muviri wemukadzi wako.
4 Kugaroudza mukadzi kuti unoda kuvata naye
5 Kuti wapinza chombo mumukadzi woita nguva inopfuura 10 minutes usina kumudiridzira urume. murume anonaka anopedza nguva refu ari mukati memukadzi wake.
6 Mukadzi wemumba ngaazive kuti mumba mune murume zvisina dictatorship asi rudo.

Kana ukasahwisisa nyaya iyi zvinonetsa kuhi unonaka, zvikuru kana mukadzi wako akambovata nevamwe varume akataridzwa rudo uye kunakigwa.