Friday 18 December 2015

Chihure chisina zvokurhojana.

Chihure chisina rhoji pachiri.
Mazuvano kwava nenyaya dzange dzisiko kare. Imwe yenyaya idzi iri kunetsa vanhu mudzimba dzedu ndeyokuhwisisa kuti kana ukahi unodanana noumwe munhu, iwe une mukadzi/murume mumba asizve usina kana kumboda kuvata nomunhu iyeye waunohi unodanana naye, zvingahi wahura here?  Vanhu mudzimba umu vari kupokana kusvika pokuti:

1 Vanorovana nokukuvadzana
2 Vanogarisana matare mhuri dzichiuya kuzotonga nyaya
3 Vanofumurana kuhama neshamwari
4 Vanosvika pakurambana

Asi pese ipapa pasina aita chihure chokuvata nehure kana nechikomba. Zvingori zvepafoni kana kuti kombiyuta chete chete. Saka tati timboongorora kuti chiiko chave kuhi kuhura mazuvano? Sei vanhu tisingahwisisani nenyaya iyi? 

Varume nevakadzi vakasiyana here mafungire avo panyaya yokuhura kurina rhoji mukati? 
Parudzi nomutauro wedu, kuhi wahura nanhingi hunge wavata naye kana kumurega achikubatabata muviri wako nokukupa zemo. Hino mazuvano kwava nevanhu vanosangana pa INTERNET chete vohi vahura.

1.                   Ngatitange nokubvunza kuti kana ukabva kubasa ukapinda mumba ukawana mukadzi wako achitarisa mapikicha evarume vaasingatozivi pa INTERNET vasina kupfeka  ungati  ahura here?

2.                   Ku mukadziwo ukasvikowana murume wako achitarisa mapikicha evanhukadzi vasina kupfeka ungati ahura here?

3.                   Ko ukawana achitarisa varrume vasina kupfeka uye zvombo zvakamira  kana kutiwo vakadzi vasina kupfeka vakavhura makumbo ungati ahura here?

4.                   Ka kana ukawana mukadzi wako achizvikwizakwiza bhinzi achiona mapikicha amurume asina kupfeka uye chombo chomurume wepapikicha chimire ungati aita zvechihure here?  Ko ukawanawo murume wako achirhja maoko ake akatarisa mukadzi ari papikicha asina kupfeka uye akavhura makumbo ungati ahura here?

5.                   Ko ukaziva kuti pane munhu anozikamwa nomurume/mukadzi  wako uye pakati pavo vopanana zemo zvichibva pakutaura chete pafoni kana kuti pa WhatsApp kana kuti pa Email asi vasina kumbosangana kana kamwe chete. Vanhu ava tingati vahura here?

6.                   Ko kana vakatumirana mapikicha anosvodesa vakatauriranazve zvinosvodesa vakaitisana zemo asi vari kure nakure zvokuti havakwanisi kana kuvatana, tingati vahura here?

7.                   Ko vakauaudzana kusvika pakukumurirana zvipfeko pa KAMERA dzekompiyuta dzavo voratidzana pamberi pavo uyu ine chimire uyu ane chizvimbe, asi vasina kumbosangana zvokukwanisa kuvatana, tingati vahura here?

8.                   Ko pakutaridzana zvinhu zvavo ipapo vakataridzana kushandisa kwavanoita maoko avo kuzvikwisa pambeti kusvika zemo rapera, asi vasina kumbosangana zvokukwanisa kuvatana, tingati vahura here?

9.                   Ko kana zvadaro vaita zvese izvi, zvikazoonekwa kuti maitire avo awa ari kukonzera kuti vawedzere zemo mumba kumurume/mukadzi wemumba, tingati pane chaitwa chakaipa here?

10.               Ko murume wako aka zvitora pikicha inoratidza achizvipima chombo ne rhura akatumira musikana/mukadzi ari kune imwe nyika werudzi gwaasina kumboita hanya nago, tingati ahura here?

11.               Ko mukadzi wako aka vhura makumbo akazvitora pikicha achipinza chikumwe muchitubu chake kana kuti achipinza VIBRATOR otumira pikicha iya pa WHATSAPP kumurume ari kune imwe nyika Tingati ahura here?

12.               Ukabata murume/mukadzi wako achiari muzhira yokuenda kuhotera kwaaronga nechikomba/hure waunoziva kuti haana kumbovata naye kana kamwe chete asi ari muzhira yokunovata naye izvozvi, kana wava kupa REPORT uniti akahura here?

13.               Ka kana ukavhura foni yemurume wako ukawanika pane pikicha yemukadzi asina kusimira akatonatsovhura makumbo achiratidza chitubu chakatozvimbirira nezemo uku matinji akati bvu bhinzi imire, ukabvunza murume, murume akakuudza chokwadi chokuti ipikicha ya Loveness ari ku Zambia iwe ukaverengawo zvavainyorerana kusvika vapanana mapikicha awa ukaonawo kuti chokwadi Loveness ari kuZambia uye haana kumbobva muZambia umu, ungati murume wako ahura here?

14.               Ko ukavhura foni yemukadzi wako wanike ane pikicha yarino rume rakati twii chombo chimusoro chakatourungana chichipenya nokumira kwechombo, ukabvunza iye otsanangura kuti murume uyu ndiKwinje weku Ivory Coast waakangosanganawo naye nemasanga pa WhatsApp ndokutanga kutaudzana kusvika pakutumirana mapikicha awa, ungati ahura here?

Iyi ndiyo nyaya iri pano. Kuti tione kuti nyaya yechihure iyi inotangira papi. Chii chatingati BASE LINE yekuhura kuti ndicho chidikidiki chokuti munhu akaita toti ahura? Pane zvese zvatinobvunza izvi ngatibvumiranei kuti vanhu ava Havana kuvatana saka hapana chigwere, hapana mari, hapana makokisi apiwa munhu. Kungori kufarisa munhu opedzisira otaridza umwe zvinhu pakamera kana kungotsanangurirana zvavanofarira kuita nomurume/mukadzi mumba.

Tinoonazve kuti vanhu munyika zhinji vari kuti zviito izvi ndezvechihure asi vazhinjizve vari kuti hachisi chihure nokuti hapana kuvatana kwaitwa. Chihure chii veduwe? Sei tichitsamwa kana tahurigwa. Murume wako kana akavata noumwe mukadzi asi zvechokwadi zvichionekwa pavhidhiyo kuti vese vakapfeka kondhomu nemagirovhusi, tingati vakahura here?

Ko iwewo murume, kana mukadzi wako akavata noumwe murume vese vakapfeka magirovhusi uye vachishandisa kondhomu, ungati mukadzi wako ahura here?

Tinoonazve kuti pane kuvata nomunhu wausina kuroorana naye kunoonekwa sokuti hakusi kuhura. Kune MaPASTOR akawanda mazuvano anoudza mukadzi wemunhu kuti uya kuhofisi kwangu ndikunamatire ugoita mwana. Toona kuti murume wake ndiye anotodhiraivha mukadzi wake nemota kuenda naye, wondosiya mukadzi kuhofisi kuya iye woenda kwaanoenda wozodzoka afonegwa kuti chiuya unditore tapedza. Anonotora mukadzi wake nomufaro asi mumoyo make anoziva kuti mukadzi arhojewa naPASTOR iye vese vari vatatu vanoziva kuti zvaitika, asi haaoni sokuti paita chihure. Uyawo mukadzi waPASTOR anoziva kuti vanorhoja vakadzi vakawanda vemuCHURCH asi anotokurudzira vaya vasina mbereko kuti vauye kuzonamatigwa nomurume wake.

Pane munhu anoti iye ane murume mumba, anomuka pakati pousiku okwira bazi nevamwe vakadzi achienda kuAIRPORT kundogamuchira POLITICIAN asiri hama yake, uku akapfeka TSHIRT ine muromo waMUGABE wacho pazamu rake chairo mukadzi iyeye. Kune varume vakawanda vanofunga kuti chihure ichi asi hapana kuvatana kwaitika na Mugabe wacho.  Chihure chabvepi ipapa.

Taionazve mazuva ehondo ya 2008 kune vakadzi vaitukwa vachinzi muru mahure a TONY Blair. Asi pakati pavo pasina akambosangana na TONY BLAIR wacho.  Saka chihure chacho chaibva papi.
Toonazve kuti murume nomukadzi vanogara kure nakure vese vanoziva kuti vanohurirana asi hapana anoti bufu kutanga kukomburena.

Apa tiri kuda kuongorora kuti chatiri kuti kuhura chii chaicho? Vangaziva kana kufunga patingaisa BASE LINE yechihure chaipo. Iri nyaya yokuti vanhu mumba vanotukana kuti uyu ari kuti kuumwe wahura uyawo achiti hapana chihure chaaita. Ari pachokwadi ndeupi? 

  Ku USA kwakaitwa SURVEY yemafungire evanhu ndokuwanika kuti 76% vanoti kana une murume kana mukadzi kana musikana kana mukomana vanoti ukashamwaridzana noumwe munhu wausina kumovata naye asi muchiratidzana mipikicha yepamberi kana mazamu, vanoti chihure. Votizve chihure chomoyo. VokuKOTI dzokurambana kwevanhu vava kutozvibvumawo kuti chihure. Vakatopa kuhura uku mazita okuti

EMOTIONAL AFFAIR.
INTERNET Affair
SOCIAL MEDIA AFFAIR

Nezvimwe asi tichiona kuti kana ikangohi AFFAIR zvoreva kuti vakavatana. Idzi dzimwe hadzina kuvatana asi dzongohi chihure. Isu parudzi gwedu tinozvionawo sei.

Kana mumba musina kunatsodudzirana mafungire enyu mese munokwanisa kugarotukana nenyaya yokusahwisisana pazvinhu zvakadai, nezvimwe zvisina basa. Kana  mukaona kuti munogaropokana panyaya dzechihure asi chokwadi chiri chokuti hapana ambovata kana kuda kuvata noumwe munhu, garai pasi mutsanangurirane kuti  ndepapi pakasiyana mafungire enyu. Madaro moedza kuti mubatanidze mafungire enyu kuti mese muwane maonere akafanana.

Zvikonzero zvemaitire awa:
tiri kuti chii chinokonzera munhu ane murume/mukadzi mumba kufunga zvokutaurirana zvinosvodesa noumwe munhu ari kune imwe nyika?  Pane nyaya dzakawanda pamubvunzo uyu saka regai tigozoitaura tambotanga kubvumirana kuti mazuvano kuhura kwasiyana nekwekare asi hatichawirirani tese kuti chaicho chatingati kuhura chave papi. BASE LINE iri papi?  Saka tombomirira kuti tese titaure mafungire edu tozounganidza mafungire ese toita nyaya imwe chete.  Zvadaro tozoona kuti zvinobva papi uye zvinobatsirei kutaudzana nomunhu wausingazivi kana kuti wausingazosangani naye panyaya dzezvinosvodesa. 

KO IWE?
Kana uri murume tipewo mafungire ako panyaya dzatareva idzi kuti ungafungei kana mukadzi wako adziita. Chihure here kana kuti kwete kana  asina kuvata noumwe munhu ? Mukadzi wako akatumira umwe murume ari ku RUSSIA kana KOREA  pikicha yake asina kupfeka, murume uya womutumira mwadhi pa WhatsAPP kuti ane mazamu akanaka chose, ane matinji anoyevedza, bhinzi yake iri kuonekera zvinofadza, etc , iyewo otumigwa pikicha dzemurume iyeye asina kupfeka chombo chakati twii, orondedzera murume uya kuti chombo chake chinofadza kuona. Ahura here mukadzi uyu?


Kana uri mukadzi tipewo mafungire ako panyaya dzatareva idzi kuti ungafungei kana murume wako adziita. Chihure here kana kuti kwete kana asina kuvata noumwe munhu? Kana ari murume wako ari kutumirana mapikicha noumwe mukadzi ari kure chose zvokuti havakwanisi kusangana, ahura here? 

Murume/mukadzi wako anoziva here kuti ndiwo mafungire ako awa uye anobvumirana nazvo here kana kuti makatosiyana?

Heinoi Nyaya
Pane murume anohi Chimoyo aimbori mupurisa kuZimbabwe ndokuzobva ondoshanda kuCape Town. Akasiya mukadzi wake kumusha achigara nevabererki vake. Vange vachangoroorana vasina mwana. Napo napo mutevedzani naye akatanga kumunyorera achiti maigiri vari kuhura na NHINGI, achitodoma zita romurume waaiti anohura naye iri ngari yokuti babamunini vaya vakahwa maiguruvachinemerana na Nhingi uya pafoni dzavo usiku.

Chimoyo akabvunza mukadzi wake pafoni kuti ichokwadi here kuti uri kuhura naNhingi, mukadzi akati kwete as ichokwadi kuti ndiri kuda murume wangu agare neni. Zvokugara naana mai nababa handisi kuzvigona. Murume akauya akatonga nyaya yake mhuri yese ikati mukadzi ari kuhura mukadzi akati haasi kuhura. Murume akati haazivi pane hokwadi asi haachadi kusiya mukadzi wake.  Akatora mukadzi akaenda naye CAPE TOWN. Murume akaudza mukadzi kuti anofunga kuti akahura asi anomuda saka nyaya ngaichipera yakadaro. Mukadzi aingoti haana kumbohura.

Murume akatanga kunyorerana magwaro pa WhatsApp nomukadzi wasekuru vake vari kuZimbabwe, kusvika pakutumurana mapikicha vasina kupfeka, mbuya nomuzukuru, vari vanhu vezera rimwe chete. Sekuru vari hazvanzi yamai. Murume akazoti umwe musi akangamwa foni kumba mukadzi ndokuitarisa wanei mapikicha ambuya vasina kupfeka vakanatsovhura makumbo pavaizvitora pikicha paya. Ukuwo mapikicha emurume wake akanatsomisa chombo. Mbuya vachidetemba chombo chomuzukuru pa WhatsApp.

Mukadzi akatumira mapikichaya ese kufoni yake ndokuatumira kufoni yamuya vaya neyasekuru. Sekuru vakabata mukadzi ndokurova kuZimbabwe. Murumewo paakadzoka akatarisa foni yake akahwa oudzwa kuti mbuya varohwa nasekuru nokuda kwemapikicha. Akatsvaka kuti zvafamba sei kuti sekuru vawane nyaya iyi ndokuwana kuti mukadzi wake ndiye akonzera. Akabata mukadzi ndokurova mu Cape Town ndokumukuvadza ndokusungwa. Akabvako ndokutora foni yemukadzi ndokupwanya ndokuti mukadzi asafa akaita foni ine WhatsApp futi.

Zvese izvi zvakaitika pasina umwe wavo ahura noumwe munhu zvokurhojana asi zvokungotaura pafoni. Tingati pane chihure change chaitika here kana kuti kwete.

Wedzerai vane fungwa pazviri !!!!

5 comments:

secre said...

Mai chibwe makadii ini ndinoti chihure zvakare mukadzi anenge akabvira kuhura ari musikana nekuti hapana paungasiya chombo chemurume wako wonoti name name nechemurume wekurussia kana usiri hure taura nezvemurume wako kwete vamwe varume dai aripedyo murume iyeye chii chinozoitika at the end vanovata vese

Anonymous said...

Kuhura kuita zvinhu zvausongadi kuitigwa- kana kutumira vamwe mapikicha wakashama uchizobvuma mumwe wako akazviita , then its fine. Ikezvino kwava neanonzi ma"open relationships" which do exactly what i am talking about without offending your partner

Anonymous said...

Makadii. Amai ini ndinoti. Chihure bcz mucadzi kana murume akarora kana kurorwa afanire kuzvifumura....

Unknown said...

Enter your comment...kuzohura unenge usina kugutsikana neyaunenge uinayo gyz saka handione sepane chakaipa ini kutsvagawo zvirinani

Mai E Chibwe said...

Kuhura hakuitiswi nokusagutsikana newaunaye. Kana wahwisisa kuti hausi kuguta, unofanira kugadzirisa nyaya yako mumba kuti mese mugute. Kuhura hazvigadziri nyaya. Kunotowedzera kuipa kwenyaya.

Kana nyaya mumba isingagadziriki, siyana neuyu waunaye wonotsvaka umwe. Kwete kuhura. Asi hapana nyaya isingagadziriki mumba kana mese muchihwisisana pakutaura. Kana uchiona kuti mune nyaya, budira umwe wako pachena ai muudze kuti uri kumuudza nokuti unomuda. kana akaterera akazama kugadzirisa iwewo chimuudza kuti waona kuchinja kwemaitire ake uye unozvifarira.

Koita varume vasingahwisisi kuti kana mukadzi ane mimba, ndipo paanotofanira kunatsa kuiswa nguva dzese kusvika ava pedo nokuzvara. Zvinoita kuti kuzvara kuite nyore.