Saturday 5 December 2015

Zvokudya zvinowedzera zemo

Zvokudya 
Kune vakawanda vakabvunza kuti kune zvinhu here zvingadyiwa mudzimba medu zvinoitisa kuti mese mugare mune zemo. Tinotanga nyaya iyi nokutsanangura kuti mai vemba ndivo munhu anoitisa zvese zvinoitika mumba nokuda kwe ATTITUDE yavo mumba. Murume ndiye hake asi varume vakawanda vanopiwa zemo nevakadzi vavo. Kana mukadzi asina hanya nazvo murume anotanga achiratidza shungu opedzisira onotsvaka kumwe. Ndisu tinokonzera kuipa kwenyaya mumba.

Mukadzi akahwisisa kuti kutukana kwemumba kupokana kwefungwa chete kusinei nokusangana pakunovata, achaita upenyu huri nani. Murume akaita mazuva maviri asina kutapudwa urume, mukadzi wake aripo, asingagwari, uye asiri kumwedzi, asiri kubasa, zvoreva kuti mukadzi wake imbodza asingahwisisi kuti musha chii.  Saka nyaya iyi verenga une zvokuda kuhwisisa kuti paya uchibika hakangamwi kuti mapedza kudya nyaya inonoperera pakupedzana zemo.

 Mabhurosi
Zvese zvokudya zvinoti ma BERRY nema SEEDS zvinokonzera kuti uhwe kuda. Kana uhiziva kune mabhurosi idzi garoti pazuva wodya kana TABLESPOON imwe chete and mbiri pazuva.  Zvinoita kuti ugare hana yakapfava zvisina zvakawanda zvaunofunga zvivhundusa.
Kana mune nguva yamunoita basa yaunoziva kuti iyi ndiyo nguva yerhoji, iti zviya kwa sara awa imwe chete kana maviri, wodya mabhurisi dzako.

Broccoli,

Kwahi iyi Broccoli inofanira kudyiwa iri mbishi kana kuti yabikwa pa STEAM kana kuti yabikwa mupoto. Hazvinei asi zama kusawanzisa kubika. Kwahi ine Vitamin C yakawanda chose. Kwahi inowedzera kuhanya kweropa saka paya waita zemo tinoziva kuti kunhu kwese kunohwikwa zemo kunokwikwisa neropa rinenge ramhanyirako. Zvinohi gara uchidya muriwo uyu kana uchiuwana kwaunogara ikoko.


 Cloves

Zvi CLOVE izvi zvinowanikwa kuzvitoro zvema India. Zvinorapa zvigwere zvakati wandei uye zvinomhanyisa ropa saka zvinohi tinofanira kupota tichikanda zvinhu izvi muzvokudya zvedu. Kana ukahwa zino kana kuti ukaita STOMACH ULCER, wedzera kudya Cloves.  Kana ukadya zvinhu izvi unowedzera simba pakuvatana uke zvinohi kunaka kwacho kunowedzera iri ngari yokuti maNERVES anotairira BRAIN kuti pane zvaitika, anowanza mashoko.  Zvigwere zvese zvechirume nezvechikadzi zvinorapika ne CLOVES.
Kunohizve kana ukaigaya ukazora nemafuta utunga hahukurumi kana uchigara munyika ine utunga. (mosquito)

Maonde (FIGS)

Maonde awa anowanika kunyika dzakawanda chose uye haadhuri. Unokwanisa kutosima muonde pamba pako uye unokasira kubereka. Kwedu kuZimbabwe kune mionde inokura mudondo zvokuti ukaziva nguva yaanoibva unokwanisa kunomkohwa womaomesa. Wogarodya. Unokwanisazve kutenga muszvitoro.

Maonde anohi anokonzera zemo kwese kuvakadzi nevarume, uye anowedzera nguva yokuvatana kwenyu. Kana zviya mune Weekend yamunoziva kuti ndeyezvinhu chete chete, sokuti kuri kutonhora kana kuti vana vaenda kwambuya mukasara mega pamba, enda undotenga tenga zvidyiwa udye nomurume wako muwane nguva inonaka.

 Mavise (Watermelon)

Mavise akanakira mese kuadya asi mhodzi dzao dzakakangwa kana kuti dovi remhodzi dzao rakanakira varume chose. Kana wada kugara uri pakaoma nomurume anoshusha panyaya dzechiuno, garomupa dovi remhodzi idzi.

Gara mumba mune mavise chero pawamawanira modya mese. Uchaona kuti zvinowedzera kunakidza kweupenyu. Vise rine 92% mvura chete asi 8% yasara iyo ine zvinoitisa kuti kana uri munhukadzi uite zemo uye pakunorhojewa apo unorerusa muviri wonatsonakigwa. Kumurume zvinomhanyisa ropa mowedzera mabasa ekubatanidza miviri yenyu.

M idzi ye Ginseng.

Kwava nemakore akawanda chose zvichizikamwa kuti midzi iyi inokonzera kuti varume vawedzere kuda kuvata nevakazi vavo. Asi zvakazozikamwawo kuti munhukadzi akatsenga midzi iyi anowdzera ropa kubhinzi kwake zvakangofanana nezvinoita murume kuchombo, kureva kuti mese moda zvakafanana. Ginseng inogadziriswa tea saka kana uchitenga zvitengwa tsvaka midzi iyi, wopota uchikanda mumvura inopisa womwa nomurume wako mowedzera upenyu mumuviri.

Saffron
Inorapa mudumbu uye inokuwanzira nyaya monovata. Inovava hayo asi ukajaira kungoikanda muzvokudya zhakaita sekuti kana uchibika mupunga paya wokana saffron yako imomo mupoto. Usawanza, bodo. Ingokanda shomashoma.

Kana wadazve nyika mumvura inovira wosiya zvichifazhaira kukanguva toti maminitsi makumi maviri zvadaro womimina mvura iya kana yatonhira woisa mubhodhoro woisa mufiriji. Kana wava kubika muriwo, nyama kana mupunga, wopota uchidira imomo usingawanzi.  Saffron inodhura asi inowanikwa mumasupamaketi.

 

 Ginger

Ginger inowanikwa kwese kwese mazuvano.  Inohi inorapa zvigwere zvakawanda saka unofanira kungogarawo uchiiyeuka muzvokudya zvako asi inowedzerawo zemo saka usaikangamwa. Vakawanda vanoishandisa pakubika asi kune vamwe vanongotsenga yakadaro zvichibva pakuijaira.

Kune vanobva kunyika dzimwe vanoiti vanofanira kuidya mazuva ese.

Pomegranate
Zvinohi kudya ma Pomegranate awa kunowedzera kumira kwechombo chomurume kana awana mukana wekupiwa zemo nomukadzi.  As chenjerai kuti muchero uyu une shuga yakawandisa saka modya zvishoma sokuti munhu umwe chete odya rimwe chete pazuva.  Kana uchiziva kuti kumba kwakanaka wofanodya kwava kuma 4 masikati kusvika kuma 6.
Muchero uyu unowanikwa mumasupemaketi asi kwedu kumusha unokwa nisa kusima muti wacho. Haunetsi kuchengeta nokuti haudi mvura yakawanda asi unononoka kubereka. Jaira kugarodya muchero uyi nomurume wako. Kana murume ari munhu uya asingadi zvemuchero, tenga DRINK yacho umupe kusvika ajaira kuimwa. Musi waaimwa wochimuudza chaitisa kuti vatano iwedzere kunaka.

Chokupedzisira zvinhu zvinowanikwa mudzimba dzakawanda zvinoti
Mazai,
Hanyanisi
Garlic
Mhiripiri

Zvese izvi zvinowedzera kumhanya kweropa saka dai wambozama kuzviwedzera mukubika kwako uye kusawanzisa kubika kwacho. Kana uchibika usabika kusvika zvokudya zvaiva kusvika pakusaonekwa kuti chii chacho chabikwa. Zvinouraya mavhitamini akawanda izvozvo, mopedzisira mungodya zvokudya zvisina chinovaka muviri.



Kana uchibika zvokudya mumba, jaira kufunga nevara rinoti BALANCE. zvokudya zvikawandisa zvorudzi rumwe chete unenge wakanganisa BALANCE. munhu anoutano anofanirawo kakwanisa kuvatana nomurume/mukadzi wake zvakakodzera. Hazviiti kuti utore munhu agara asingafariri kuvata newe womuchinja nekumupa zvokudya zvinowedzera zemo.

Zemo rinoitiswa nezvaunofunga kuita noumwe munhu. zvokudya zvinongowedzera zemo range riripo nechekare. Iwe ndiwe unotanga kufunga zvokuita nomurume wako. Kana wafunga fungwa dzakanaka zemo rouya. Kana wafunga fungwa dzakaipa, zemo hariuyi. Asi munhu anemurume mumba anofanira kuhwisisa kuti mumba mune mabasa akabata musha. Rimwe remabasa awa kuchengetana panyaya dzokurhojana murume nomukadzi. Ngatisanyeberana kuti musha usina rhoji musha une mufaro.

Kana wahwisisa ipapo chironga nyaya yokuti unokwezva sei murume, mukadzi wako kubva musi wamuroorana kusvika musi unofa umwe wenyu. 


Kana usina wekuita naye zemo hazvirevi kuti womborega kudya kunobatsira muviri. kune vakawanda vanoshamwaridzana nemaoko avo kuti muviri ugare uchibviswa TENSION inouya kana fungwa dzichigarofunga kurhojewa asi murume/mukadzi pasina. Maoko anongoshandawo zvinogutsa. Hakuna asingazivi kuti zvinoitwa sei.


Zvkudya zvinowedzera simba rekumira kwechombo. Kana une murume mumba wana zvimwe zvezvokudya izvi upote uchiisa muzvokudya zvemurume wako nezvakowo iwe. Uchaona kuti murume wako chero ava munhu mukuru haanetseki pakumira chombo, uyezve haawanzi kuita zvigwere zvevarume. Zvimwe zveizvi zvinoshandawo pakuwedzera kugadzigwa kwemhodzi dzeurume zvokuti pamwe kana muri kunetseka kuita mimba, zvinokwanisika kuti muzame kuwedzra kugadzigwa kwemhodzi dzemurume.

1.     Blue berries
2.     Ginger
3.     Ashwagandha Extract
4.     Cistanche Bark
5.     Schizandra Berries
6.     Yohimbe
7.     Maca
8.     Horny Goat Weed
9.     Ginseng
10.   Ginkgo Biloba
11.   Cindium
12.   Catuaba Bark
13.   Guarana
14.   Tribulus Terrestris
15.   Tongkat Ali
16.   Mucuna Pruriens Extract
17.   Cherries
18.   Bananas
19.   Raw onions
20.   Pomegranate 
21.   Cloves
22.   Green tea
23.   Pumpkins
24.     Water melons
25.   Pumpkin seeds
26.   peanuts
27.   spinach
28.      


Mushonga mukuru unodiwa zuva nezuva kuwana zvokudya zvine MAGNESIUM 

Udzai vamwe !!!!!!!

6 comments:

Anonymous said...

Mai Chibwe, masiya a couple of foods dzinodyiwa pachivanhu chedu, which most girls vanoudzwa kupa murume pavanoroorwa -mutetenerwa (dried and salted nuts), maputi, ma avocados, dovi

Mai E Chibwe said...

Ndatenda chose. Dai marega zvinhu zvine munyu. Munyu uri kuuraya vanhu vakawandisa vari vanana nenyaya ye BP. Munyu unokwidza BP zvikuru kuvanhu vava kumakore anopfuura 30. Siyanai nozvokudya zvine munyu.

tiz more said...

zvidyiwa zvizhinji zvasuggestiwa apa hazviwanike muno muafrica,ko hakunawo here miti kana midzi ingadyiwa kubatsira bonde

Anonymous said...

Nhai kanonzi maca root kanowanikwa kuZimbabwe here

Unknown said...

Thx nedzidziso

Unknown said...

Tatenda nedzidziso inovaka kudai