Saturday 4 January 2014

Kuzvagwa une zvisina kufanana nevamwe

Pane vana vanozvogwa vakasiyana nevamwe vana iri ngari yokuti chibereko chatadza kuumba mwana zvakanaka. Izvi zvinokonzegwa nezvinhu zvakasiyana siyana asi kana zvakuwira iwe unokwanisa kushungurudzwa nazvo.

Vana vanozvagwa nezvimwe zvinhu vanokwanisa kuti vakura votadza kuita vana saka tichiti kana zvaitika tonetswa pamoyo nazvo. Zvimwe zvezvinoitika ndezvokudai.

1 Mwana anozvagwa ari mukomana nomusikana pamunhu umwe chete
2 Mwanakomana anozvagwa pamberi pakaita sepemusikana
3 Mwanakomana anozvagwa ane zvombo zviviri
4 Mwanasikana anozvagwa ane zvitubu zviviri
5 Mwanasikana anozvagwa ane minyatso yakawanda, mitatu kana mina. Ane yakawanda kupfuura vese ane mitanhatu
6 Mwanakomana anozvagwa ane minyatso yakawanda.
7 Mwana anozvagwa asingazikamwi kuti mukomana here kana musikana nokuti hapana chinonyatsoonekwa paari.

Izvi ndizvo zvimwe zvezvinotyisa pane zvinoonekera pakuzvagwa kwevana, tisingaverengi pane zvimwe zvinohi kuremara zvingawanikwa pamuviri wemwana. Zvandareva izvi hazviwanikwi pavana vakawanda asi kana zvaitika pamwana wako unongoshaiswa mufaro nazvo kwenguva refu. Vakawanda hatidi kufunga nezvazvo nokuti zvinotityisa. Tinozvionera kune dzimwe mhuri saka zvinonetsa fungwa kuti tifunge kuti zvingaitika kwatiri.

Pamwe tinototsoropodza vana vevamwe nokurambidza vana vedu kunyengwa kana kunyanga munhu anobva kumhuri yazvinowanikwa. Unohwa mai vachiudza mwanakomana wavo kuti asanyenga musikana anohi nhingi nokuti hazvanzi yake ine urema hwekuti. Uhu ugino hahwo asi hunobva pakutya kuti kuremara kuya kunokwanisa kuuyawo kumhuri yedu. Hatichatarisi kuti kumhuri inazvo zvakangotangirawo ipapo hakuna umwe anazvo mumhuri yavo sak pamwe hazvitokwanisiki kupfuura ipapo nokuti pamwe iye wacho anazvo haabereki.

Kana nyaya yakadai yaitika mumhuri yenyu, inyaya yemhuri yese asi parudzi gwedu tine nyaya yokuda kutsvaka munhu wekupa mhosva. Munhu wekutanga kupiwa mhosva muroora, saka kana uriwe muroora wacho, wotoona kuti uri munhu akasimba nokuti pamwe murume wako anokuona sokuti une mhosva pazviri. Unokwanisa kuzoshupika pakukurudzira murume kuti muite umwe mwana nokuti mese menge muchifunga kuti pamwe zvinowira vana vese.

Chokwadi chaicho ndechokuti kazhinji hapana ane mhosva. Pane pamwe panokwanisika kuti umwe munhu ange ane mhosva, sokuti umwe wenyu aimbotora maDRUGS kana imwe mishonga, kana kuti murume akamboitwa X-RAY yaisvika pamberi akakuvadzwa mabhora ake zvokuti urume hwaremara chimwe chinhu.Kashoma kudai, kana kuti akambobata chigwere chechihure chikamukuvadza fakitori inogadzira urume. Pachigwere chechihure apa kwahi kazhinji zvinoremadza maziso emwana.

Kana uchida kuona zvimwe zveizvi zvinotyisa kutarisa vakashira dzimba dzinohi DAY CENTRES  mu UK uzvionere. Rudzi gwakawanda pazviitiko izvi ndegwevanhu vanobva kunyika dzakaita se Pakistan vanoita vana nehazvanzi dzavo. Muma Day Centre umu makazara chose vanhu verudzi ugu. Tinohwa tichidziviswa kuvata nehama dzapedo zvichibva pakuti vekare kare vakazviongorora vakaona kuti zvakaipa. Ndokuzouyawo Bhaibheri rotaura kuti tisazviita asi paChikaranga kwange kuchingori kutsinhira zvatanga tisingaitiwo hedu.

Hino iwe nehama yako mukaitawo ganyabvu kusvika pakudanana nokubvisirana hembhe, ita henyu asi kana zvokusvikirai musakangamwa kuyeuchidzana kuti mhosva ndeyenyu.

Koitazve vanhu vanoti akaita mimba omwa mshonga yaasingazivi kuti ndeyei achiti nokuti apiwa nambuya vake kana kuti nomunhu waanovimba. Mimba hachisi chigwere. Chinodiwa pamimba kutya kwakakwana kwete mishonga. Chii chaunoda kurapa pamimba?

Kotizve vakadzi vechimanjemanje vanomwa doro nokusvuta fodya iye ane mimba. Izvi zvinokwanisawo kukonzera madambudziko kumwana ari mudumbu.

Koitazve vamwe vanoita mimba iye ari hure rinotambira mari nokurhojewa nevarume. Kurhojewa hakuna kuipa kana une mimba asi kurhojewa nevarume vausingazivi zvigwere zvavanazvo ndiko kwakaipa. Ukaita chigwere chechihure unokwanisa kugarisa usingazivi kuti unacho muviri wako uchinetseka pakuumba mwana. Unokwanisazve kuti waziva wonorapiwa nemishonga inokanganisa kumbwa kwemwana. Kana une murume umwe chete anohura nevamwe vakadzi vanohurawo nevamwe varume unokwanisa kupiwa zvigwere zvinokanganisa foroma yemwana. Zvese izvi zvakaipa kuitika panguva ino. ndosaka tichiti kana made mimba mumba menyu tangai manoongorogwa pazvigwere. Madzoka tauriranai kuti PROTOCOL yekugarisana mune mimba yakamisa sei. Mohwisisa kuti zvokurega kurhojana hazvisizvo, uye kuti mwana azvagwa munoramba muchibatsirana kubudisa unga pamurume kuti asafambafamba. Pane 6 weeks makamirira kutangazve.

Koitazve inohi pachirungu MUTATION kureva chinhu chinongoitikavo pamunhu chisina nhoroondo kuti chaitiswa nei. Kazhinji MUTATION ikaitika mwana achiri pasi pe 6 weeks mukadzi anobva mimba chibereko chaona kuti mwana uyu haana kukodzera chomira kumuumba. Inohi SPONTANEOUS ABORTION kureva mimba inobva yega pasina aibvisa. Kana chibereko chikakanganisa kuongorora kuumbwa kwemwana chikaramba chichiumba, mwana anozvagwa akasiyana nevamwe vana  pakadai. Mwana azvagwa pakadai ndiye watinoti hapana munhu ane mhosva asi kuti chinhu changoitikawo hacho chega.

Kana zvakuitikirai, kasirai kusapotana mumba mucheme pamwe chete kana muri vekuchema, kana kuronga pamwe chete kuti morera mwana wenyu sei nokuti mwana uyu achaoneswa nhamo nevamwe vana pakukura kwake. Vamwevo vakuru vanokwanisa kumuonesa nhamo. Munofanira kudzidzisa mwana kuziva zvokuita kana asangana nemapenzi akadai. Imiwo muchiwana vanhu vanokushorai nokukuitai sevanhu vane chakaipa pamuri. Dzidzisanai zvokuita kana masvika pakadai.

Munokwanisazve kusangana nevarapi vanokuudzai kuti mwana wenyu haapfuuri makore okuti ari mupenyu. Mukatevedzera zvavanoreva munogara makashungurudzika chete. Pane kuti muchengete mwana wenyu momurera okura zvakanaka. Kana akasvikawo pakushaika ari mwanana, ndizvozvo, munosapotana mumhuri yenyu mosara henyu mune nyaya yomwana wenyu nokuti akakusvitsai panzvimbo imwe muupenyu hwenyu. Kana mozoita umwe mwana munenge mohwisisa uremu hwekubatsirana kurera.

Kushipika kuya kunoita vanhu vane vana vanoda kunyengana newenyu kwakangofanana nokushupika kwamunoita kana mwaona mwana wenyu achidawo kunyengana nevanhu vezera rake imi muchihwisisa kuti muviri wake wakamira sei. Inyaya inoda vaviri kuhwisisana uye kuti munoraira mwana wenyu sei kuti asanetseka nazvo. Kana zvaanazvo zvichionekera zviri nani pane zvisingaonekeri. Sokuti ane mazamu akawanda, kana mukomana akamunyenga achizviona hapana chakaipa asi kana ane zvitubu zviviri imi munotya kuti mukomana amunyenga akazozviona vambodanana anomuramba here. Kana ane zvombo zviviri zvinokutisaizve kuti achanyenga sei nokuti musikana akazoziva pava nenguva zvinonetsa. Saka pamwe munowirirana kukurudzira mwana kuti audze vamwe kusiyana kwake navo kuti vasavhunduka pakunyengana naye. Kana vamunyenga vachitoziva zvaari kuda kwavo havo.

Asi nyaya yenyu haipereri ipapo nokuti muchadazve kuziva kuti anozvara here. Mukagara maenda naye kundovhenekwa kuonekwa kuti pane chimwe chakaipa here paari, mogara muchiziva kuti nyaya yake iri papi chaipo muhwisisa zvokumuraira muupenyu hwake.

Mukaitazve vamwe vana muchaona kuti iyeyu munomuchengera kupfuura vamwe vana nokuti munomutyira pane zvakawanda. Ngwarirai kuti vamwe vana vanozvitora sei uye kuti iyewo anozokwanisa kuzvionera ega here muupenyu. Basa revabereki nderekuyarusa vana vavo. Munokwanisa henyu kumurega achinonoka kukura asi regai akure aitewo musha wake.










Thursday 2 January 2014

Anniversary dzemumusha

Ngatimbotaura nenyaya dzokuyeuchidzana mazuva akakosha mumusha. Nyaya idzi todzipa kuvarume vedu kuti vahwisise kuti ndivo madzishe saka ndivo vane basa rokuziva mazuva. Hurumende ndiyo inotaura yega kuti nhasi izuva re Public holiday. Ishe ndiye anosarudza musi wechisi. Sabhuku ndiye anotaura musi wedare. Saka nyaya yedu nhasi yakarerekera kuvarume vedu asi isu tine zvokuitawo pazviri. 

Varume:
Varume vanoshushikana nenyaya yokuda kutonga pamusha. Vanoona sokuti murume akaonekwe seane moyo munyoro mukadzi anokwanisa kumudherera. Kufunga kwakadai kunobva pakushaya CONFIDENCE yokuti ndiwe mukuru pamusha. Kana uri mukuru uye uchizviziva wega, hapana chinombokunetsa. Ukangogara pamusha wako uchiita mabasa emunhu mukuru, mukadzi anongokutora somunhu mukuru pasina mubvunzo. Kuti zvikasire kuitika izvi murume ngaaratidze kuti anokoshesa mukadzi wake. Vakadzi takakmboregwa pakuti hatinetsi kufadza. Murume anongofanira kuratidza kuti fungwa yake inogara ichindifunga nguva nenguva. Akabuda mumba akaenda kwaaenda haakangamwi kuti asiya mukadzi mumba. Anofanira kuratidza kuti kupatsana kwaaita neni kwamushaisa mufaro uye mufaro uyu unodzoka kana adzoka kwandiri.

Ndini mai vemba yake, mai vevana vake, shamwari yake yepamoyo, murudzi wemufaro wake, munhu anoziva zvese zviri pamuviri wake nemashandire azvo. Saka ndini ndinayewo pamoyo. Iye anofanisa kusandikangamwa. Saka murume anofanira kuratidza sei fungwa dzakadai. 

Imwe nyaya inoshanda ndeyokuti murume azive nezvemaruva. Kugarotengera mukadzi maruva chnhu chakanaka chose. Ruva chinhu chinoitika pamuti kana imwe mbeu kana chimwewo hacho chinokura muvhu. Ruva rinotaridza kuti upenyu huri kuenderera mberi nokuti ruva rinoti rapera poita mhodzi dzinoti dzakora dzokwanisawo kudzvagwa dzoita humwe upenyu. Ruva rinotaridza kutangazve kweupenyu utsva. Panesu vaviri, ruva rinotaridza kutangazve kwerudo. Rudo rutsva rudo rukuru. Saka kana murume achiunza maruva kumukadzi wake anunza rudo rutsva.

Hino kune vamwe varume vanounza maruva kana vamborova mukadzi madeko. Maruva aya iota sokushandiswa kukumbira ruregerero. Ndizvo hazvo asi ukajaira kudai musoro wemukadzi unozofunga kuti maruva anobva pakurohwa. Kana warova mukadzi, zviri nani usamuunzira maruva pakukumbira ruregerero. Wana chimwe chinhu chakaita sehuku mhenyu kana mbudzi yaunoudza mukadzi wako kuti muripo wekukanganisa kwawaita. Maruva ndeevanhu vane rudo kwete vanorovana mumba mavo.

Saka unoziva sei musi wekuunza maruva. Maruva angangohi zuva nezuva anobva ajairigwa oshaya chiremera mumoyo momukadzi. Murume wana mukana wekukoshesa maruva musi waunouya nawo roita zuva rakakosha.  Mazuvano vanhu vakawana mukana nokukoshesa mazuva anohi ma ANIVERSSARY, kureva musi unofungwa chinhu chakaitika rimwe gore pazuva iroro romwedzi. Toti machata musi wa 25 December 2013. Gore rimwe nerimwe pazuva iri murme anouya nemaruva kumukadzi wake kuratidza kukoshesa zuva iri.

Kuti mazuva akadai awande, ndanyora pano ma ANIVERSSARY akawanda anofanira kufungwa nomurume kuti aratidze kuti anokoshesa kuva nomukadzi wake. Mazuva awa anokupazve mukana wekurangaridza mukadzi wako chimwe chinhu chaunokoshesa chinoitwa nomukadzi, zvadaro iye haazokangamwi kugarochiita nokuti anoziva kuti unochifarira. Murume anonyorawo kandima kokurondedzera kuti maruva awa abva panyaya ipi.

Aniverssary
Rondedzero
1 Yokusangana kwenyu
Musi uno mugore rokuti, ndakasangana newe panzvimbo yokuti . ndinogarofunga kuti dai ndakangoti nonokei ndikasasangana newe dai upenyu hwangu husina mufaro.
2 Yokubvumirana kudanana
Msi uno mugore rokuti, wakandipa rudo. Nanhasi ndine rudo gwako.
3 Yokutanga ita chimwe chinhu mese
Msi uno gore rokuti, wakaenda neni kundoona firimu rokuti, zvikandidadisa kuziva kuti unondida.
4 Yokukisana kwenyu
Musi uno mugore rokuti wakandikisa kokutanga. Kisi iyoyo handiikangamwi nokuti yakandifadza chose.
5 Yokuzvagwa kwemukadzi
Musi uno ndnotenda vabereki vako vakakuzvara kuti uzoita mukadzi wangu.
6 Yokuzvagwa kwemurume
Dai ndisina kuzvagwa dai ndisina kuziva mufaro waunondipa. (Reverse role apa. Murume anotengera mukadzi maruva asi iBD yake iye murume)
7 Yokutanga kuvatana kwenyu
Musi uno gore rokuti wakandiratidza rudo pachinhanho chakakwirira tikasimbisa rudo gwedu.
8 Yokusangana nevabereki vak/vako
Musi uno gore rokuti wakandi kumbirira vabereki vako kuti ndiitewo mwana wavo. Wakada vabereki vangu vaite vako.
9 Yokuroorana kwenyu
Musi uno gore rokuti wakava mukadzi wangu weupenyu hwedu hwese.
10 Yokutanga kugara mese
Musi uno gore rokuti takatanga kugara tese
11 Yokutenga imba mese
Musi uno gore rokuti  takatenga imba yedu yokurerera mhuri yedu
12 Yokuziva kuti ane mimba
Musi uno gore rokuti takaudzwa kuti tine mimba yedu
13 Yokuzvagwa kwemwana wenyu wekutanga.
Musi uno gore rokuti wakazvara mwana wedu ane makore okuti nhasi.
14 Yokutenga mombe yenyu yokutanga
Musi uno gore rokuti wakaratidza kuti uri muvaki nokutenga mombe yedu yokutanga tiri tese
15 Yokuzarura bhizimisi renyu
Musi uno gore rokuti Takazarura bhizimisi redu ukataridza kuva mai vemusha pakuva vahosi vekuungana kwemhuri
16 Kana mukadzi murume akambopinda muchipatara, rangarira zuva rokubuda kwake
Musi uno gore rokuti wakagwara zvikandidya moyo chose. Ndinotenda nokupona kwawakaita.
17 Kana ukamboinda Joni, rangarira zuva rokudzoka kwako
Musi uno gore rokuti handikangamwi fungwa dzangu muzhira yese kubva Joni ndichiziva kuti wakandimirira.
 
Morangarirazve naya dzorufu dzinova dzinorangaridza vanhu kuti upenyu hune mugumo uye mugumo wacho hatimuzivi saka kana tiri vapenyu kudai ngatiitirane rudo uye tinakigwe noupenyu nokuti chipo chatakapiwa chine nguva inoverengwa namakore mashoma.  Kana pana hama yenyu yakashaika sokuti mwana wenyu kana kuti mubereki wemurume/mukadzi munowana kanguva kokutaura nezvazvo nokutenda nguva yamakaita nehama iyi. Mowanawo nguva yokutenda nenguva yamunayo imi pauviri hwenyu nokupanana rukudzo kuti mese makasarudzana mukadanana uye muchiri mese kureva kuti mune rudo.

Kana makafgwa nomwana uchaona kuti mukadzi wako panguva iyoyo anosuruvara kana achifunga mwana wake. Ndiyo nguva yokuti muve pamwe chete. Ratidza kuti iwe hauna kukangamwa mwana wenyu.

Vakadzi
Mukadzi kana awanawo murume akadai, anogaromurangaridza mazuva akamukoshera paupenyu hwenyu, chiratidzawo kuti unokoshesa fungwa dzomurume wako anokuda seizvi. Murume musi waanounza maruva okuudza zvaaunzira maruva kuti zuva iri izuva rakaita sei, chirikoshesawo iwe. Kana musina vana hapana chokumirira. Tanga kutenda nokudiwa kwaunoita.

1 Bikira murume zvbokudya zvinotaridza kuti izuva rakakosha.
2 Ita nyaya dzinorerekera kukukosha kwezuva iri. Kana usina nyaya nazvo bvunza murume mibvunzo akuudze ugotaura kukosha kwazvo kwauri iwe
3 Isa maruva aya paanoonekwa nevanovhakasha wosiya chikadhi chine rondedzero iya chiripo kuti vaone ugotaura masho okudada nazvo. Kana zvichinyadzisa bvisa chikadhi usiye maruva aripo. Kana shamwari dzako dzikauya usasvoda kudziudza chikonzero.
4 Pakunovata musi uyu, taridzawo kuti izuva rakakosha rinofanira kuitwa zvakakosha. Varume vanowanzo farira APPRICIATION iri DIRECT. Rondedzera kuti uzere norudo uye kudada nemanyawi aakupa kukuratidza kuti anokuti. Chimubvunza chinhu chiri SPECIAL chaanoda nhasi womuudza kuti chero chaada unomupa. Kana asarudza mupe nomoyo wese. Kana wange wakaneta wabva kuSHIFT, udza murume mukasire kundovata uite zviitwa ugowana nguva yokuvata yakakwana. Kuchidzira moto pakusangana kwenyu.

5 Kana iri BIRTHDAY yomurume wako, mira mirawo nezvokudya nokudaidza shamwari dzake muungane ugoitawo chimwe chakakosha chaunotaura pagungano. Hazvirevi kuti unoita PARTY asi kungodanawo imwe hama kana shamwari kuti muve pamwe chete modya mese, wotaura zvinokoshesa zuva.

6 Usakangamwa kutenda murume pakukukoshesa nokukufnga nokukupa rudo nokukuitira zvakanaka zvinokufadza. Appreciation breeds appreciation.

Mese hwisisai kuti mumhuri yakadai kupopotedzana kunoita kushoma nokuti mese munoziva zvinofungwa noumwe. Harisi zuva rinohi rakakosha asi kuti munhu waunaye ndiye anokoshesa zuva iri nezviito zvake pauviri hwenyu.

Vakadzi tinopa varume vedu umambo hwemusha zvisingarevi kuti murume mudzvanyiriri asi kuti munhu akakosha pamabasa ake apamusha zvokuti ndiye mukuru. Hazvifaniri kuti ave nenguva yaanoita sokusabvimugwa kuva mukuru. Hazvibvi pakutaura kana pakupopota kana pakupiwa zvipo asi kuti zvinobva parukudzo kubva kwamuri mese. Kana mukdzi achitukana nomurume hazvirevi kuti ari kuti murume haasi mukuru. Ari kuti wandigumbura saka gadzirisa pawakanganisa. Kuva mukadzi wemunhu iVOLUNTARY PROCESS. Kupa murume umambo iVOLUNTARY PROCESS yokuti musha imiri ine mutongi anohwisisa kuti mukadzi diye akazvininipisa kuva pasi pemurume kwete kuti i RIGHT yemurume. Sakai we murume wapiwa umambo uhu chitaridza ushe amhuri yako. Koshesa mukadzi pane zvaakakuitira nezvaari.

Mari
Pese pese panodiwa mufaro nyaya yemari hainonoki kuvapo. Kune varume vanoti nyaya dzema ANIVERSSARY  idzi dzinopedza mari profit yacho isinganyatsi kuonekwa. Profit yorudo mumbo ihuru chose. Kamari kaunoshandisa kutenga maruva kashoma chose chose pane zvaunowana. Hwisisa kuti mumba kazhinji zvinhu zvinotengwa ndezvenyu mese. Mukadzi haanawo chinhu chaanoti ichi ndechake ega. Maruva ndeake ega asi anofa kwapera vhiki posara pasinazve chinhu chaanoti ndechake.

Murume imbosvikawo kumba kwako ufambe fambe mumba uchitarisa zvinhu zvinohi ndezvemukadzi wako zvisinei nemhuri zvisiri membhe dzokupfeka. Uchaona kuti zvishomanana. Ndosaka tichiti imbopawo mukadzi wako manyawi umwe musi.


Udzai Vamwe!!!