Thursday 31 August 2017

Kuzviwetera wakura

Kune nyaya iri kuitika mudzimba isingawanzi yataugwa pachena nokuda kwekuti inoonekwa senyaya inoitika kuvanhu vasina kuwanda vanoonekwa sokuti pane zvakaipa pavari. Ngatitange nokuhwisisa kuti kuzviwetera kwakawanda kuvangukadzi kupfuura kuvarume kana tichitarisa kuvanhu vakuru vapfuura makore gumi.
 Kana une mwana uchaona kuti anozviwetera ari mucheche oiswa napkin/nappy/ mugwada kuti asangowetera pese pese. Anozoti ava nemakore maviri kana ari musikana otanga kupedza usiku hwese asina kuweta. Vakomana vanoti nonokei. Panozosvika mwana pamalore mana (musikana) kana kuti mashanu (mukomana) anenge ava kugona kuzvionera ega usiku nemasikati, asi pamwe anomoita ACCIDENT ozviwetera. Ipapa pa ACCIDENT kana vakuru vakasahwisisa kutsiura mwana, zvinokwanisika kuti kuweta kwese nguva ipi zvayo kunomupa STRESS, zvokuti anokwanisa kuzowedzera ma ACCIDENT ake usiku nemasikati.
Kune vanhu vanozviwetera panyaya dzakasiyana siyana vava vanhu vakuru. Tichitarisa vanhukadzi chete tinoona vakadai:
1 Kana ane chigwere: Kune zvigwere zvinopinda paboka rezvigwere zvinohi UTI zvinokwanisa kuti munhu atadze kudzivirira kuzviwetera kusvika chigwere charapiwa.
2 Kana akadhakwa: Kune vanukadzi anoti kana akadhakwa haazivi kuti aripi okwanisa kuzviwetera.
3 Kana avhundusigwa: Unokwanisa kutyiswa nezvawaona ukazviwetera.
4 Kana uchangozvara mwana. Panokwanisa kuita nguva yaunoti ukakosora kana kuhotsira woweta, pasina zvaunokwanisa kuita pazviri.
5 Imwe mishonga: Pane mishonga yokuti kana uchiishandisa unokwanisa kuzviwetera. Sokuti mushonnga wekuwana hope.
6 Kuzviwetera wachembera: Kana munhu akura pazera anodzokerazve kuva mwanana panyaya dzokuzviwetera, zvokuti munosvika pakumupfekedza manapukeni. Asi zvinozikamwa kuti vanhu vanorama vachiita zvokuisana utanga kuzviwetera. Mukazi anogaroiswa ava munhu mukuru uye akura kusvika pazera iroro achigaroiswa, anononoka kuzotanga kuzviwetera zvichibva pakuchembera. Murumewo anogaroisana nomukadzi wake kusvika ava munhu mukuru toti kumakore 80 uko anononka kutanga kuzviwetera. 

7 Kukura uchingoweta: Kune vashomanana vanotadza kuzvibata panyaya yokuweta usiku vavete. Mwana anokwanisa kukura pamusha pane zvinhu zvinomupa STRESS zvisinei kuti mwanana obva atadza zvachose kudzidza kubata dundiro rake usiku avete.  Anosvika makore kana makumi maviri achingoweta avete. Ndivo vatinoda kumbotaura nezvavo pano kuti inyaya i nokwanisa kugadzirika here.
  
Mubvunzi wemubvunzo ndambotaura naye BACKGROUND yake zvikaonekwa kuti ane nyaya dzinofamba dzakadai:
·          Mai vakamitiswa nababa vake ndokurambwa ndokuva iye andoreriwa nambuya mai vamai.
·          Mai vaishanda kure ndokuwanikwa noumwewo murume akati haadi mwana asiri wake.
·         Baba vake vaipota vachiuya kuzomuona asi pakaita nguva vasina kugamuchira mwana uku vakaroorawo umwe mukadzi
·         Mbuya vairova mwana kana aweta ndokubva atowedzera kuweta. Mwana aiva ne STRESS yokushuva kundogara namai vake  asi mai vachiramba, iye achiona vamwe vana vamai vake vachigara namai.
·         Mukadzi wababa ndiye akatozoti murume aende kunotora mwana nokuti paagere hapana kumira mushe asi vaishanda kwakasiyana (baba nomukadzi wavo) saka aipota achinogara kwamuya mai vababa
·         Mwana aiti kana ari kwamai vamai owedzera kuweta. Kana ari kwamai vababa kwaiva nevamwe vana vokutamba navo ange achimboweta hake asi zviri zvishoma. Hakuna aimurova kana kuutuka kana awta. Mbuya vaingofumobvunza kuti kwakanaka here, iye odavira kuti ehe kana kwete. Kana kusina mbuya votora zvanyoroveswa vondowacha pasina imwe nyaya.
·         Ava nemakore gumi nemapfumbamwe akadanana nomukomana wake kuUniversity, vakapengesana zvokuda kuroorana. Akazongomitiswa mukomana ava mugore rokupedzisira kuUNIVERSITY.
·         Mukomana ndokutyiswa nazvo ndokuramba musikana nemiba iya zvese, achiti haana mari yokuroora.
·         Musikana akaita STRESS ndokutanga kuwedzera kuzviweterazve usiku uku ane mimba. Musi wekupedza University anga ane mima ye mwedzi misere.
·         Uku ange asingadi kusangana nevekumhuri yababa achitya kutukwa. Akanozvarira kwambuya mai vamai. Mukomana nemhuri yake Havana kuzoona mwana. Ndipo pakatanga kuuda nyaya yokuti mukomana haadi mukadzi nokuti anowetera mubhedha usiku. Stress ndokutowedzera.
·          Mainini, mukadzi wababa ndiye akazoti abva kundoona mwana murume asingazivi, ndokuuya oudza murume kuti ape mwana mari yokurera mwana nayo.  Uye ataure nemwana amuudze kuti hapana chaakakanganisa. Ndokuzokwira mota kundoona muzukuru uye kupa mwana mari yokuzviatsira.
·         Kwakuzotumira shoko kumhuri yemukomana kuti muri kufungei. Mukomana akati anoda mukadzi wake chose asi mari yokuroora haana sezvo ari nherera akareriwa nasekuru vava munhu mukuru.
·         Mhuri dzese dzakazosangana ndokubvumirana kuti vana kana vachida vanonochatiswa kwamuDzviti mhuri dzobatsirana kuti vavake musha wavo. Ikozvino vagere zvakanaka vava nechimwe chana mukadzi anopota achiita ma ACCIDENT asi zviri nani.
Ndiyo nyaya yake yaari kukumbirawo kuti pamakore 26 aava awa, zvichagadzirikawo here?  Saka tati timboongororawo kuti nyaya dzakadai dzinogumirepi? Vamwe vanoti vakazvihwa voseka voumuruka vomhura munhu ane dambudziko asi shuwa mangwana ndiwe. Tikasataura nyaya idzi tichipanana mazano okuita tinozoti tavesu todyiwa moyo nokushungurudzwa nadzo. 
 Poitazve nyaya yokuwacha zuva nezuva kana asinafariri kuvata akapfeka mugwada. Ko iyo mari yesipo pamwedzi inobvepi kana uri muZimabwe. Unodazve kuva nomurume anohwisisa nokuti weti inokwanisa kunhuwa mumba. Chero mukajaira henyu, uchaona kuti vamwe vanhu vanopinda muma menyu vanohwa kunhuwa kwayo. Zvosapa chimiro chakanaka. 
Nyaya idzi tikakwanisa tichadzitarisa kuti tione zvimwe zvingaderedza kuipa kwadzo. 
Kana uchimbozviweterawo kana kuti uchigara nomunhu anozviwetera tiudzewo kuti nyaya yake yakamira sei. Ndichazama kutsvaka kuti chii chingaitwa nevarapi kuti nyaya iyi iite nyore kuvanhu vari mairi nokuti ukanatsofunga unoona kuti inyaya yakaomera munhukadzi, zvikuru kana ane murume.


Tuesday 29 August 2017

Mafungire edu panyaya dzakasiyana

Pano tiri kutaridza nyaya dzakabuda pamivunzo yakabvunzwa pano kuti vaverengi vapindure vachitaridza mafungire avo.  Kana une mubvunzo waunoda kuti uiswe pagungano kuti vanhu vataure mafungire avo tomuira mumbvunzo wako nemhinduro dzaunoda kuti vasarudze padziri tigovapa pano vapindure. Taurazve kuti mubvunzo wekuvarume here kana vakadzi kana kuti tese. 

Verengawo ma RESULTS kuti uzive mafungire evamwe kuti ari papi, woona kuti iwe wakarerekera kupi? 

Ticharamba tichiendera mberi nokuvhota mavhotere enyu achiudiswa pana kana VOTE yavhara. Tokumbirawo muvhote panovoteka.

Iwe murume, pamukadzi/musikana wako unofarira chii?
Chiso- maziso, muromo mhino
11 (13%)
Mazamu
25 (30%)
Magaro
37 (45%)
Makumbo -zvidya
17 (20%)
Pamberi, matinji, bhinzi,
29 (35%)
Kuenderana kwazvo zvese 
27 (33%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 81 

PASAIZI YECHOMBO CHOMURUME WAKO, PANE NGUVA YAUNOMBOFUNGA KUTI DAI CHISINA KUDAI HERE?

Saizi yake yakandikwanira
12 (60%)
Akakurisa
2 (10%)
Dai akawedzera kukura
6 (30%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 20

VARUME TIUDZEIWO KUTI CHII CHINONAKA MAOKO KANA MUKADZI.

Maoko ari mberi
9 (10%)
Mukadzi ari mberi
57  (66%)
Zvese zvinonaka
20 (23%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 86

KANA MURUME AKAITA MWEDZI MITATU ASISAMIRI CHOMBO

Ndomurapisa
24 (61%)
Ndoti chihure chaitisa
7 (17%)
Ndomuramba
3 (7%)
Ndogara naye asi ndohura
5 (12%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 39 

KANA MURUME WANGU AKAMITISA UMWE MUKADZI

Ndinomuramba
16 (44%)
Ndinomuchengeta asi ngaasada mwana
3 (8%)
Ndinomuregerera
17 (47%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 36 
KANA MUKADZI WANGU AKAPIWA MIMBA NOUMWE MURUME
Ndomuramba
37 (90%)
Ndomuchengeta
1 (2%)
Ndomuti abvise mimba kana achindida
3 (7%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 41 

KANA UKAZIVA KUTI MUKADZI WAKO ARI KUGAROVATA NEMURUME ANE MUBOBOBO UNOITA SEI?

Unomuramba here isiri mhosva yake?
6 (18%)
Unoramba unaye here?
13 (40%)
Unoenda kwasabhuku here?
12 (37%)
Unomuchengeta asi worega kuvata naye here?
1 (3%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 32 

KUBVA PAMAKAROORANA, WAKAMBONYIMA MUKADZI/MURUME BONDE HERE?

Ndakambomunyima
18 (39%)
Handina kumunyima
13 (28%)
Iye akambondinyima
23 (50%)
Ndiri murume
22 (47%)
Ndiri Mukadzi
6 (13%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 46 
KANA MUKADZI/MURUME WANGU AKANZI MUROI
Ndinomuramba
11 (28%)
Ndinogara naye chete
28 (71%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 39 
Murume wako ari kukugutsa here?
Anondigutsa chose
23 (38%)
Ndizvo hazvo
18 (30%)
Handiguti. Ngaawedzere
11 (18%)
Handiguti zvachose
8 (14%)
Vanhu vakataura zvavanoda
Votes so far: 60





Saturday 26 August 2017

Kuzoziva kuti mukadzi imvana matochata

Veduwee, tongai tihwe apa.

"Tete, Ndakabva pamba nezuro ndaenda kune imwe town. Takadanana makore maviri kusvika tachatiswa muna May 2017. Mukadzi wangu ane pamuviri pava nemwedzi miviri. Pane zvakaitika nezuro kubva kuhama dzake ndikazoziva kuti ane mwana ane makore 5 aakaita ane makore 17. Amai vake vanorera mwana.

Ndagumbuka chose nokuti haana kundiudza kuti ane mwana. Hama dzake havana kundiudza kuti ane mwana. Tete vake havana kundiudza kuti ane mwana.

Dai akandiudza ndaingomuroora chete zvakadaro. Ndofunga kuti kana achikwanisa kuvanza mwana chii chimwe chaanokwanisa kuita? Ndipeiwo mazano. "

Tiri kutaura nyaya iyi nemuridzi wemuvunzo. Batsirai nefungwa tihwe pamumire. Asi pakubatsira kwenyu, fungaiwo nyaya dzevarume vasingaudzi vakadzi kuti vane vana.
____________________________________________________________________________

Thursday 24 August 2017

Varume vanoda kuona Pamberi pemukadzi.

Mudzimba umu asikana, potai muchitaridza varume venyu zvinhu zvavo kuti vanatse kuona nokuongorora zvazviri. Kana zviya musina kupfeka mumba makachena chiedza, sokuti masikati kana kuti rambhi harina kudzimwa, kashoma kuti murume asakutarisa zasi achiona zviri kuitikako. Zvinoreva kuti varume vanoda kuona zvawakaita zasi. 

Saka kungopedza nyaya iwe muridzi pota uchitaridza murume zvauri, ahwisise kuti kana usina zemo kwakadii. Kana une zemo kwakadii. Bhinzi iripi uye yakadii kuitarisa. 

Chaita kuti ndifunge kuti zviri nani tiite tsika iyi, inyaya yokumenyiwa magaro pakufongora. Murume ava nemakore achiisana newe zvokuti iwe unofunga kuti ava kuziva pokupinza chombo, asi ukangofongora chete kana kuvata nedumbu kwakachena, unohwa okumenya magaro otora nguva asati apinza kureva kuti ari kukuongorora zvauri. Wozohwa pfeee pfeee, kutsvanzvadzira panhu nechombo pedzezvo nyurududu ave mukati. 

Woshaya kuti sei achitanga akumenya magaro nemaoko. Asi kana kwakasviba mumba haamenyi. Sei achida kutanga aona zvapari panhu pako? Kana muri vekuisana mangwanani Unomenyiwa magaro zuva rimwe nerimwe. Asi nezuro akakumenya akatarisa. Nhasi odazve kutarisa. Akangamwa here zvaakaona nezuro. 

Kozoti pakuti ava mukati ava kukukoira wega unohwa muviri wake uchinorova magaro ako panopinda chombo. Asizve akambokukoira unohwa muviri wake usisakurovi magaro uku maoko ake okumenya magaro, kureva kuti ari kuda kuona chombo chichiita basa saka pausingahwi muviri wake uchigumha magaro kureva kuti asuduruka kuti anatse kuona chombo chake chichipinda nokubuda. 

Chibva wamushinya chombo asawanza sipidhi yake anatse kuona zviri kuitika. Kana kuchemerera wedzera akuhwe uchishungurudzwa nechombo. Zvinowedzera manyawi ake onakigwa obva ada kukunakirawo.

Sei achida kuona? Zvibvunze wega kuti sei murume achida kukuona zasi? Sei achishuva kuona chinhu chaanogara nacho mumba? 

Muviri wako nomuviri wemurume wako zvese ndezvenyu mese. Pota uchitaridza murume zvese zvinokwanisa kuonekwa. Hwisisa kuti ivo varume Havana chinovanzika. Chombo chikamira hazviiti kusachiona. Ukachibata bata unohwa maitire acho chimire. Mabhora ake anoonekwa futi.

Zvino isu hapana chinonatsoonekwa. Matinji kutoita okutora ruoko gwake woguisa pamatinji ako kuti amboita nguva aripo. Unotoita wekuudza kuti pinza chigumwe, apinza womuti kwenyerera kumadziro ekumusoro (kune G-Spot  inozvimbirira ), zvadaro wozomuti apinze zvigumwe zviviri arambe achikwenyerera, asi hapana chaanoona nokuti zviri mukati. Kungonyorovesa zvigumwe zvake chete. 

Bhinzi pamwe une kadikidiki pamwe une hombe asi vakawanda murume anotoita yokutsvaka nezvigumwe. Kuiona hunge watochinja POSTURE yako. 
Saka musashamisika kuti sei varume vachiita CURIOUS kuona zvatiri. Rega atarise. Iwe fadzwa nokutariswa zvisinei kuti wakafongora here kana kuti uvete manhede. Kana achida kuona nguva iyoyo rega aone. Imwewo nguva udza murume kuti pari kuvava ngaakukwenye. Akati kwenye kwenye, Muudze atarise kuti chii chiri kuvava. Panei chauri kuona. Uchaona otora nguva achitarisa zvakawanda.

Kana murume achangotanga kubvisigwa bhurugwa nomukadzi. Unobvunzwa mibvunzo inosetsa sokuti
1 Unoweta nepapi?
2 Anohi matinji ndeapi?
3 Ko sei mukati muchidziya kupfuura muviri wako?
4 Bhinzi yatomira here kana yadai? Ndikaibata handifi here? 
5 Chitubu chako chakadzika zvakadii? Ndinokwanisa here kusvitsa chombo kwachinoperera?
6 Ko chibereko ndechipi? 
7 Ndikapinza yese handingabayi musoro wemwana here? 


Anenge achidawo kuhwisisa zvauri. Iwe tsanangura kusvika ahwisisa. Kana achida kuona uchiweta, wana mukana wekuti aone weti ichibuda azive painobuda napo.

Varume vanhu vanofarira zvinhu zvekuona kupfuura vakadzi. Ratidza murume wako zvese zvauri. Hapana chekukusvodesa kumunhu anokupinza chombo zuva nezuva.

Verengazve apa:

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kuziva-mamirire-akaita-mukadzimurume.html

Vakadzi:
Isuwo tonida kuona pamberi pevarume asi kazvinji inyaya yokuti kana uchitya kuti pamwe murume akakurisa zvokuti anotadza kukwana paanokupinza chombo, unenge uchida kuona asati azama kupinza. Kana waona ukazvishingisa kurega achipinza, ukahwisisa kuti chombo chake chinokwana, hauzoiti basa nazvo.

Chombo hachinetsi kuona nokuchibata uchichihwisisa maitire acho. Mazuva okutanga kuiswa unenge uchida kungohwisisa kuti chakamira sei uye chinoshanda sei. Ukawana mukana wekuchibata mumaoko unochibata wochiongorora wochihwisisa. Chombo chinhu chinoshamisa maitire acho zvokuti kuchibata wohwa chichikura muaoko ako zvinofadza uye zvinokuwedzera zemo. Kungoziva kuti pano ndingangoiswa kunowedzera zemo nokukunyorovesa kuzasi.

Asi kujaira kuona chombo hazvitori nguva. Ungada hako kugaroona zvachiri, zvikuru kana uri munhu anopota achifarira kuchitambisa nemaoko kana kuchisveta, asi kufarira kuchiona kuri pasi kwekufarira kunoita varume kuona pamberi pemukadzi, zvisinei kuti magara nguva yakadii muri mese.

Saka apa tiri kuti iwe mukadzi wemunhu, pota uchikoka murume kuti awane mukana wekuita nguva achiona zvauri. Unokwanisa kuti

"Bhinzi yangu iri kuvavira, uya uone kana pane chiripo."
"Wakandisviira madeko. Tarisa kuti pakadii. Hauna here kundikuvadza? "


Udzai vamwe!!!

Tuesday 22 August 2017

Mibvunzo nemhinduro 11

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 10 yakazara saka tava kutanga rino. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1. Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Ndatenda



1Zvinoita here kuroorana nomuzukuru? Mukoma wanga ane murume wake. Tete va babamukuru vane last born yavo mukomana wezera rangu ndomuda zvokuti uye iyewo anondida . Zvinoita here kuroorana naye muzukuru uyu. Kuchikaranga muri varamu mese saka munotogaronemerana pauramu hwenyu. Zvinobvumidzwa chose kuti muroorane Sekuru nemuzukuru voroora mumhuri imwe chete mukma nemununguna. Ukama hwenyu hauchinji iwe ukaona mukoma wako unongoti maiguru na babamukuru. Babamukuru vakaona muzukuru vanongoti muzukuru asi kwauri voti mainini.

Hapana kana mobe yechekaukama inobviswa. Munongotaura kuti moda kuroorana vakuru votokugadzirirai pasina mimbvunzo. Sunungukai pazviri. 
2Kana mukadzi achiramba bonde zvinorevei, uye ndingaita sei? Kune zvikonzero zvakawanda zvinoitisa mukadzi arambe kuvatana nomurume wake. Hazviiti kuti tizive chikonzero chomukadzi tisina kumbotaura naye asi zvimwe zvacho ndeizvi.
1 Murume haanaki: Kusanaka kwemurume kazhinji kunobva pakukasirira mukadzi. Vanhukadzi vakawanda vanonakigwa nokuiswa nguva refu sokuti kubva papipinzwa kusvika pakuzopiwa urume ngazvipfuure 5 minutes. Ukakwanisa kusvika kuma 7 uko zviru nani chose. Pota uchizorora uchikisana nomukadzi wako nokumubatabata muviri wake.
2 Kusageza: Murume anonhuwa muviri, muromo, doro, fodya, hapwa, haanaki kuvata naye. Kana wapiwa mvura geza. Kana shawa iripo geza usati wandovata. Kwesha mazino.
3 Kutsoropodza mukadzi: zvinobvisa zemo. Taridza mukadzi rudo nguva dzese. Potawo uchitumira mukadzi zvinofadza pafoni yake, nokumuzevezera muzheve.
4 Kugwadziwa pakuiswa: Kana mukadzi ane chigwere kana kuti asinganyorovi, zvinogwadza kupinzwa chombo.
5 Murume asingazivi kumbotamba nomukadzi: Zvinhu zviya zvinoda mambotama mese musina kupfeka.
6 Pasina rudo: Mukadzi kana asingadiwi anokasira kuziva kuti haadiwi. Hazvinakidzi kuisana nomurume asingakudi, ipapo iwe haune kwekuenda. Zvangofanana nokubatwa chibharo.
7 Kuneta: Kana mabasa emumba akawandisa mukadzi anoneta zvokushaya simba rokuzoda kuisana nomurume. Batsira mukadzi  mabasa.
8 Kana mambohurirana: Ukahurira umwe wako akazviziva, zvinovhundusa kuzovata newe. Wana mukana wekutaridza umwe kuti zvapera hauchazvipamhi. Asi kashoma kuhura wozorega.

9 Zvigwere: Mukadzi akaita chigwere chechihure anokwanisa kuramba kuisana nomurume asi asingadi kuudza murume chikonzero.
10 Mimba: vamwe vakadzi akaita mimba anokwanisa kuvenga murume. Asi zvichapera.
11 Kungoda maitire amwe chetewo zuva nezuva, zvinobhowa. Pota uchisiyanisa.

Ndizvo zvimwe zvezvikonzero. Usafosa munhu kuvata newe. 
3Mukadzi asati ambobereka ane pamuviri pane mwedzi mitatu asi achirutsa ropa zvino konzerwa nei?Kuva nepamuviri kwake nokurutsa ropa zvinokwanisa kunge zvisina pazvinowirirana. Kungoziva kuti munhu ari kurutsa ropa zvoreva kuti anofanira kuendeswa kuvarapi. Kuzoti ane mima zvoreva kuti kasirai kumuendesa kuvarapi.

Zvimwe zvinhu musamirira kuudzwa. Kana paita nyaya yakadai endai kuvarapi nokukasira. 
4Mukadzi wangu haadi kugeza. Ndoita sei? Pakunorara anotonhuwa BO chaiyo zvinondisemesa. Ugoona kunaka kwaakaita kumutarisa. Haungafungiri kuti haagezi. Ndipeiwo mazano.BO kana kuti hwema hwemuviri hahuitiswi nokusageza. Hunoitiswa nemaBACTERIA anofarira kudya dikita/ziya. ma BACTERIA awa anowanikwa paganda rese remuviri asi zvikuru panodikitira pakaita

semuhapwa,
muvhudzi remusoro,
pakati pemakumbo,
kuseri kwezheve
pasi pemazamu

Unokwanisa kugeza kaviri kana kkatatu pazuva asi uchingoita hwema hwakaipa chete nokuda kwekuti maBACTERIA acho haapedzwi nokugeza. Kuzvipfapfaidza tunonhuwira hazvishandi pese pese futi.

Iye muridzi wehwema haatombozivi kuti ari kubudisa hwema hwakaipa kusvika audzwa nomunhu ane rudo kwaari.

Kana audzwa, anofanira kutenga vinegar ne cotton wool, ozvizira vinegar iya kunyorovesa muviri wese achiwanza panodikitira. Zvadaro omirira 30 minutes, obva azopinda mushawa kana bhavhu. Oitazve kaviri pavhiki pokutanga, ozongoita kamwe pamwedzi. Hwema hwemuviri hunichinja kuita hwakanaka.

Asi variko vanhu, varume nevakadzi vasingadi zvokugeza. Zvinonetsa kukurudzira munhu kuti ageze. Munhu wega ngaazive kuti kunofanira kugezwa. 
5Tete, Ndinonyara kuudza murume kuti ndoda kus**rwa asi most times ndoda, even masikati, asi ndonyara kumuudza. Mazano please. Ita tsika yokushandisa chibhende pakutaura zvokuisana kana uchitaura nomurume. Wana mashoko okugaroshandisa kusvika murume aziva zvauri kureva. Sokuti
1 Wakaneta here?
2 Hendei tinovata
3 Ndava nenguva
4 Swedera pano
5 Handina hope

Zvoreva kuti pane zvaunoda kuti muite.

Mazuvano unokwanisazve kutumira murume MESSAGE pafoni yake. Pane shoko raunoti ukamutumira anohwisisa kuti uri kuda kuiswa. Sokuti ukati "8.45" anobva aziva kuti unoda.

Kungotanga kupurudzira muviri wake muchiita nyaya mumubhedha.

Wana mukana wekuti akaona uchiita chimwe chinhu anoziva kuti uri kuda kuiswa. Asizve dzidzawo kutaura zvaunoda kuuda pachena chaiko. Zvinopa murume zemo kuhwa mukadzi wake achiti anoda kuiswa. Mukadziwo anofarira kuudzwa kuti murume ane zemo, zvikuru kana murume akamuudza kuti ndiye akonzera zemo. 
6Ichokwadi here kuti varume ngochani vane mb**o hombe kupfuura varume vasiri ngochani? Ichokwadi kuti tikatora AVERAGE yesaizi yechombo kuvarume ngochani, tikazotorazve AVERAGE kuvarume vasiri ngochani, zvinoonkekwa kuti AVERAGE yevarume ngochani yakakura kupfuura yevasiri. Asi hazvirevi kuti murume ngochani ane chombo chihombe kupfuura asi kana wangosangana navo vari vaviri. Inyaya yema AVERAGE.

Pane zvakawanda pamunhu zvatinoziva nema AVERAGE asi zvisingaiti pamunhu wese anazvo, Sokuti AVERAGE yevarume vanohura vane mabhora makuru kupfuura vasingahuri asi hazvirevi kuti ukaroorana nomurume ane mabhora madiki haakuhuriri kana kuti ane makuru anokuhurira. Inongori AVERAGE kureva kuti CHANCE yokuzviita yakwira.

7Murume wangu ane makore 34 ini 31. Tava nemakore 6 tachata, 8 tiri tese. Ndinomuda chose asi hope ndodzishaya. Akangoti kotsirei otomuka oda bonde, toita ovata, omuka futi. Three or four times zuva nezuva.
Zviri normal here? 
Hakuna chingahi NORMAL panyaya yokuisana mumba menyu. Zvinoita sokuti makajairira kumutsana usiku saka ndiyo NORMAL yenyu iyoyo. Kana zvichikushaisa hope, munokwanisa kukasira kundovata. Zvoreva kuti maawa aunenge uri kuhope anowedzera.

Unokwanisazve kutaura nomurume wako mudzidze tsika yokuisana iwe uri kuhope. Ukavata une fungwa yokuti uchaiswa usiku, unodzidza kugamuchira murume uri kuhope. Sokuti akaita seairi kukusimudza gumbo iwe wobva wasimudza gumbo uri kuhope iye wopinza chombo sewakamuka asi uri kuhope.

Vakadzi vakawandisa vane varume vanoiswa vari kuhope. Murume wese wese unomira chombo 8-11 times ari kuhope kureva kuti anokwaisa kukurjoja iye ari kuhope kana kuti akapepuka okupinza iwe uri kuhope. Shuwa rega murume afare kuti ane mukadzi waanodaro.

Asi dambudziko rako harisi dambudziko rinoonekwa nevakawanda sedambudziko. Vamwe vanototi une rombo rakanaka kuva nomurume akadai, zvichibva nokuti pakuisana kwenyu unogutawo here. 
8
Mimba inobata here uchangobva kumwedzi?
Mimba ine mazuva ainokwanisa kubata koita mazuva aisingakwanisi kubata. Asi whisisa kuti ukapiwa urume nhasi, hunogara huri upenyu kwenguva inoita mazuva mana saka kana wange usingakwanisi kubata mimba nhasi asi uchizokwanisa kuibata mazuva mana apera, unokwanisa kuita mimba nokuiswa kwako kwanhasi nokuti urume hunokwanisa kumirira zai ngiva refu.

Verenga pakahi "Kana wada mimba"
9
Chii chinoitika kuti musikana anzwe kuda kubatwabatwa?
Vasikana nevakomana vese vanoita zemo kana kuti havi yokuda kuisana noumwe munhu. Zvinotangira mufungwa kuti uri kufungei. Kana ukatanga kufunga nyaya dzakarerekera pakudanana nokuisana nomukomana/murume, kana kuona vamwe vachikisana kana kuisana, kana kuhwa umwe achichemerera ukaziva kuti ari kuisana nomurume wake, unotanga kufunga nezvokuisana.

Fungwa ikangorerekerako muviri wako wototanga kuita zemo. Unohwa pamberi pototanga kudavira, kunyevereka. Bhinzi inotangawo kumira, matinji ozvimbirira, kuzasi kotanga kunyorova. Zvivhudzi zviri paganda zvisingaoneki zvowedzera kumira, Minyatso inokwanisawo kumira.

Ukazobatwabatwa nokupurudzigwa nokukisiwa nomurume unohwa kunakigwa nazvo. Kana ari murume wako momba matoisana zvowedzera kunakirana. Kana asiri wako unokwanisa kuti ukazviregeredza wotohura naye. Bheta kusimuka woenda, ukasvika kuma uchine zemo wozvinakira nemaoko. Maoko haakupi chigwere, haakupi BAD REPUTATION, haakuitisi mimba.


10
Kurota mazai zvinorevei?
Kurota ifungwa dzaunofunga uri kuhope. Unokwanisa kufunga mazai, mbudzi, gudo, kubika, mukomana wako, tsuro, kunaya kwemvura, etc. Hazvirevi chinhu asi kungoti dizvo zvawafunga uvete.  Unokwanisa kufunga mazai wakasvinura. 
11Chii chinoita kuti uite weti inonhuwa?

Kune zvinhu zvakati wandei zvinodyiwa zvinoonzera weti kunhuwa asi kana wazvidya wega unotoziva kuti weti ichanhuhwa saka unenge usina basa nakunhuwa kwayo.

Koitazve kana ukapiwa imwe mishonga ukaiwa inokwanisa kunhuwisa weti futi.

Kozoti chikuru chinnhuwisa weti ndeamwe ma BACTERIA anowanda kana wabata chigwere chemudundiro. Zvigwere zvakadai zvinohi UTI. Pamwe unohwa kupisa uchiweta. Pamwe zvinotogwadza zvese nokunhuwa. Kasira kundoudza varapi vakupe mushonga. Usajaira kugara une INFECTION.
12
Ndingaita sei kudzora chitubu after ndazvara mwana. Ndava nemwedzi. 

Zvakawanda zvaunokwanisa kuita asi tanga wahwisisa kuti kana wazvara mwana Kunoita nguva chibereko chisina kudzokera pasaizi yachange chiri kara. Koitazve nguva chitubu chisinawo kudzokera pakushinya sakare.

Imiwo hamubvuidzwi kutanga kuisana mwedzi nehafu zvisina kupfuura kubva musi wazvagwa mwana. Vamwe vanoita mwedzi miviri.  Koitazve vamwe anoti azvara oita zemo risingaiti, iri nyaya yokuti kubuda ropa kunosiya muviri une zemo kune vamwe vanhukadzi.

Verenga pakahi "kusimbisa masuru" apo uhwisise zvimwe zvaungaita. 
13Chii chinganzi ndicho chikuru kana kuti chakakosha pakufadza murume pabonde? Ndiri mutsva panyaya idzi. Chikuru kutaurirana zvakawandisa muchiita nyaya pazviri muchitaurirana zvinosetsa (JOKES) pazviri, muchishamwaridzana. Iwe uchibvunza zvinodiwa nomurume wako iye achikuudza iwewo uchimuudza zvaunoda. Kana mozomovatana uchaona kuti unenge wakasununguka pakutaura, pakuita, nepakutaridza kunakigwa nazvo. Murume wako achafadzwa nokuona uchinakigwa nezvamunoita.

Kana zvichinaka chemerera, batirira murume. Udza murume kuti zviri kunaka. Usatya kubata muviri wemurume nokutambisa chomo chake nokuzvipa kwaari kuti atambe nomuviri wako. Muviri wako ndicho chinhu chikuru kupa murume aite TOY yake.

mapedza gumbatira murume wako womuvaraidza kusvika abatwa nehope. Kana ukapepuka achizama kupinza chombo, simudzaira gumbo apinze. Varume vanomira chombo mangwanani. Kana muchangoroorana usarega murume achibuda achienda kubasa musina kumborega zvepamberi zvichimhoresana. Ratidza shungu dzokuda kuiswa mangwanani.

Mukajairira kuti manheru nemangwanani uchaona kuti murume wako anogara akati tonho.  
14Humbo zvorevei Vara rauri kuda rinoti Umboo/Humboo. Rinoreva kuvimika kwechinhu.

Make up of something
Authenticity of something


15Mukadzi anoroorwa nekuti mumba mashaya mbereko anonzi chii?
Handichazivi vara racho asi ndikariyeuka ndichanyora pano.


16
Kufumura zvakaipa zvakaiswa pamunhu kunoitwa sei?  
Mubvunzo uyu hauna kunatsorurama nokuti haurondedzeri kuti zvakaipa zvinoiswa pamunhu iye ozoda kuzvifumura nemhosva yei iye ambozviisa pamuviri wake? Kana usingadi zvakaipa unongogara warega kuzviisa pamuviri wako. Zvakaipa zvacho ndezvipiko zvingahi zvakaipa.?


17Gavakava rinobvisa nhumu here? Pane kufunga nezvokubvisa nhumbu, zviri nani kufunga nezvinoitika kana wabvisa nhumu pasina varapi? Kubvisa nhumbu hachisi chinhu chokuti unongomuka mangwanani wototanga kufunga zvokuvisa nhumbu uri wega. Zvinotoda kuti utange nokufunga vanhu vaunofanira kutaura navo usati wabvisa nhunbu.


  • Mai vako
  • Shamwari yako
  • Mufundhisi
  • Varapi vese neve PSYCHOLOGY. 
  • Murume akakupa nhumbu yacho. 


Fungazve kuti msi waunonobviswa ndiani anoenda newe nokuti hakuendwi wega. Wadzoka ndiani achakuvaraidza nokuti uchashunguridzika nezvawaita kwemakore akati kuti. Ucharota hope kakawanda panyaya yako. Unoda munhu anokwanisa kukuvaraidza. Mai vako ndiye munhu waunoudza zvese kana upenyu hwakunetsa. Asi vamwe vedu havana mai vekuudza saka ndati funga kuti akamira newe ndiani.
Unokwanisazve kufa.

Kavakava rinorapa zvigwere zvakawanda pamunhu nepamhuka, asi haribvisi mimba. 
18Chii chinoratidza kuti hausisiri mhandaraHapana chinhu chinganzi chinoratidza kuti musikana haasi mhandara chaungaona paari.

Kare zvaifungwa kuti musikana asina chivharo chechitubu anenge ari musikana akamovata nomurume, asi zvava kuzikamwa kuti kune vasikana vakawanda chose vanozvagwa vasina chivharo chechitubu zvokuti musi waanotanga kupinzwa chombo nomurume hapana chinobvaruka saka hapana ropa rinobuda.

Koitazve vamwe vanopinzwa chombo asi chivharo chotatamuka zvokuti hachibvaruki asi munhu atoiswa akanakigwa.

Vamwe mazuvano anoti akabvaruka chivharo oenda onosonesa.

Koitazve mhomho inibvaruka nokuuda ropa. Saka chivharo chechituu hapana chachinotaridza.

Kozoti vamwe futi vanorama kupinzwa chombo kuchitubu asi vachigaropinzwa kumashure asi uku chivharo chakangobatana. Saka toti imhandara here? Bodo.

19Kugona kubata murume/mukadzi pabonde kuita sei? Kugona kuata murume/mukadzi pabonde kuhwisisa zvaanoda musi iwoyo nokuzviita. Umwe noumwe murume/mukadzi ane zvaanoda zvakasiyana nevamwe. Iwe muridzi wake hwisisa zvaanoda ugotora nguva uchizviita.

Chinonetsa ndechokuti vakawanda vanoziva zvinodiwa asi vanozviita sevasingadi kuzviita. Mhunhu itira umwe wako nomoyo wese achiona kuti unohwisisa kuti pane zvaanoda uye unofaririra kuti afare. 
20Chii chinokonzeresa kushaya hanya nebonde  Zvinomonzera kushaya hanya nebonde zvakawanda saka tikanyora zvimwe zvazvo pano iwe wotarisa woona kuti pane chimwe chaunacho here. Kana chiripo wochigadzirisa, nokuti kana une murume/mukadzi mumba anoshungurudzika nazvo.

Rega ndigonyora:




21
Kana une mimba ukarara masikati unonoka kuzvara here?
Kana une mima yakura zviya unowedzera kuneta zvokuti vakawanda vanotombovata masikati vachizovatazve usiku. Kuneta kunoitiswa nokuswera wakatakura zidumbu rine mwana nemvura, uku uchiita mabasa emumba. Kwasviba wovata nomurume riri rimwe basa futi.

Hazvinai nokukasira kana kunonoka kuzvara. Kunonoka nokukasira zvinoitiswa nema HORMONE ako emimba mamwe acho achibva nokuti zvokudya zvako zvakakwanirana noutano hwemuviri wako here.

Kana ukafungira kuti ungangononoka wedzera kuisana nomurume wako. Kuisana musina kondhomu kunoita upiwe urume. Urume hune zvirimo zvinokonzera kuti ma HORMONE acho.  Kare vana mbuya vaikurudzira kuti uvate nomurume wako mimba yava pedo.

Chikuru kudya zvakakwana.
22
Mhe-che inonaka here mukadzi akazvitakura
Mubvunzo uyu wandibhowa zvokuti. Chinonaka munhu kwete nhengo yomuviri wake. Kana waona sokuti inhengo inonaka chienda unotenga Chitubu che LATEX nokuti mazuvano zvava kutengesegwa varume vasina vakadzi. Zvadaro chiswera uchingochiroja ichocho kusvika waguta. Asi kana uchifunga nezvomukadzi wako chifunga nokunaka kwake iye somunhu. Ndoona sokuti aikunakira asina mimba.

Kana mukadzi akabata mimba kazhinji anowedzera kuda kuiswa nomurume zvoreva kuti anowedzera kunaka. Anofanirazve kuiswa kusvika ava pedo pedo nokuzvara. Kuiswa une mimba zvoreva kuti kusvara kunokuitira nyore kupfuura kusaiswa.

Vamwe varume vanoti mukadzi ane mumba ganda rake rinochinja rowedzera kutsetseka zvoreva kuti muviri wake unonakira murume kuubata. Anowedzera kunyorova kureva kuti anoisika nguva yakawadzera. Anowedzera zemo kureva kuti anoda kuiswa.

Saka inguva yakanakira mese.
Kuna vashomanana anoti akaita mimba otanga kuvenga murume. 
23Chii chaunonzwa kana uchirwadziwa nechibereko
Handina kumoita dambudziko iri asi vamwe vanoti unogwadziwa sezvinoita kumwedzi asi zvakawedzera zvokuti pamwe unotadza kufamba. Vanhukadzi vakawanda vanoti oda kuenda kumwedzi anomoita nguva achigwadziwa. Kugwadza uku kuri muchibereko (womb) menge muchikwatanuka LAYER iya yange yagadzirira kuti mwana agotanga kukuriramo asi zai razoshaya urume hwekuritangisa kugadzira mwana. 
24Ndingawanepi mushonga wekuti ndiwe zvakanyanya nemurume? 
Unawo nechekare. Mushonga wekuti udiwe nomurume zvakanyaya kuda murume zvakanyanya zvokuti iye anoonawo kuti akagona kusarudza obva akudawo saizvozvo.

Rudo chinhu chinoti munhu akaziva kuti unomuda nomoyo wese, anokudawo zvakafanana.

Tinohwa vamwe vachinopiwa mushonga voisigwa nyama yechidhambakura yakakuiwa. Hapana chinobuda ipapo zvakangofanana nokubikira murume wako nyama yehuku yakakuiwa.

Garoudza murume wako kuti unomuda, zvikuru achangomuka manganani hana yake yakadzikama. Wana mukana wekushamwaridzana naye nokuita nyaya naye. Ratidza kuda kuiswa nomurume wako. Kana abvuma ratidza kuti wazvifarira. Farira hama dzemurume zvisinei kuti ivo havana hanya newe. Usatambisa mari. Ranga nyaya dzemhuri nomurume wako pamwe chete uye taridza kuti uri munhu anovaka. Rega kufoya murume.

Zvese izvi ndiwo mushonga wekuti udiwe nomurume.
25Chii chinoita kuti nhova yemwana idzike?Nhova yomwana inodzika kana kuonekwa ichitamba kana mwana ane nyota. Ukaona ichidaro mwisa mwana mukaka kana kumumwisa mvura.

Hapana chimwe chinhu chinokonzera nhova kutamba, saka usapedza nguva uchiita zvimwe zvinhu. Tana wapa mwana mvura kana mukaka wozoita hako zvimwe zvinoitwa nevasingahwisisi. 
26Makongo marefu  akaita sei? Kuti ndipindure mubvunzo uyu, ndofanira kuonyoka. Mubvunzo uyu wabvunzwa nomunhu asingahwisisi nhengo dzomuviri wemunhukadzi.
Munhukadzi ane GONGO rimwe chete. Kukura kwaro kunobva pa hafu ye CENTIMETER kusvika pa 3 CENTIMETERS.
Pachirungu Gongo = Clitoris
Matinji = Labia minora
Maromo = Labia Majora
27Munhu ane nhumbu akaona munhu akafa anoitaseiAnongoita zvinoita munhu asina nhumu akaona munhu akafa. Kana hama yako ikafa iwe une mima ingoita zvawange uchifanira kuita dai usina mimba. Hapana chinoitika change chisingazoitiki usina mimba.

Zvawaona unemimba hazvionekwi nomwana


28Kudyisa murume kunoitwa sei? Kudyisa murume chinhu chakanaka chose. Kudyisa mukadzi chinhu chakanaka chose. Vanodyisa vanozviita vachiitira kuti pamusha pawedzere rudo. Ukadyisa umwe wako uchakasira kuhwisisa kuti hazvina chazvinokubatsira.  Chinobatsira kuziva zvokuita kuti pamusha paite rudo. Ukadyisa, ukasadyisa zvakangofanana kana usina kugadzirisa nyaya yako. Kuti udiwe iwe unofanira kuda murume/mukadzi wako, womuratidza kuti unomuda. Zvatopera watogona kudyisa kana wadaro. Kungozobika chidhamakura kwangovawo kukara nyama yechidhambakura asi hazvina chazvichwedzera.

Vanhu gadziridzai nyaya dzomumba pasina kuzvinetsa nemishonga yenhema iyi. Rudo gunozvara rudo. Zvipe kumurume/mukadzi wako nomoyo wese. 
29Murume ava nenguva asinga tundi anoita nguva yakareba sei pabonde
Anenga amboita nguva asingabudisi urume sei. Vanhu vakawanda vese varume nevakadzi kana akaita nguva sokuti vhiki asina waavata nanye iye akamboziva kuvata neumwe munhu, anozvibatsira nemaoko. Saka kazhinji hazviiti kuti murume aite nguva refu asina kubudisa urume. Uyezve mubvunzo hauna kururama nokuti varume umwe noumwe ari pake ega. 

Asi kana mange makaparadzana, mukazosangana nomukadzi, pokutanga murume anokasira ozoti pava paya ochidzokera pakunonoka. Kuti mukadzi anatse kunakigwa murume anofanira kuita maminitsi anopfuura manomwe kubva pakupinza chombo kusvika pakudiridzira urume. Kana usingazvikwanisi zvireva kuti tana watundisa mukadzi wako nemaoko kana kuti rurimi pabhinzi yake. Wozomupinza chombo aguta nechekare wochiita zvaunoda. Chombo hachinaki serurimi pabhinzi. 
30Mishonga yekurapa runyoka inownikwepiHakuna chigwere chinohi runyoka saka hazviiti kurapa pasina chigwere. Runyoka gunobva panyaya dzevamwi vedoro vanoswera mumabhawa kana kuti pandhari vachiita nyaya vachiseka. Kunongozotiwo vamwe vasina njere vanozobvapo vachifunga kuti zvinotoitika. Hazviitiki. Saka hakuna mushonga wakadaro. Usatya hako haumbifi wakaita runyoka. 
31
Kugeza kuashure nepamberi pemukadzi kuti asanhuhwa.

Kana pamberi pako pachinhuhwa uchiziva kuti zviri kubva mukati, zvoreva kuti une utachiona BACTERIA saka inofanira kundorapwa. Munhukadzi haafaniri kunhuwa zvichibva mukati. Pakugeza usambofa wakaisa mvura kana chimwe chinhu mukati mechituu chako. 
Chombo chomurume
Tampon rekumwedzi
PESSARY yokurapa 
Ndizvo zvinhu chete zvinobvumidzwa mukati. Kana uchigeza geza kuzhe nemvura nesipo. zvese mberi neshure. Kana uchigaroita gweme mabhinzi nengari yokuti une ganda rakawanda rakafukidza bhinzi. Bhenengura ugeze nesipo asi kamwe chete pavhiki nyorovesa ne VINEGAR pamberi, muhapwa, pasi pemazamu, guvhu, kuseri kwezheve, womirira ten minutes, wozogeza. Haumbonhuhwi futi.   

32
Kugeza mumuromo/mukanwa


kuti musanuhwa
Chinoitisa mumuromo munhuhwe zvinhu zvinoti:
Kusagarogeza mazino
Kudya zvokudya zvinonhuwa zvakaita sehanyanisi dzisina kubikwa, garlic, nezvimwe zvakadaro. 
Kugara nemazino akaora
Kuva ne PLAQUE mumuromo
Kusvuta fodya
Kusamwa mvura yakakwana

Kuti wadya paya unofanira kugeza mazino. Garoti kamwe chete pavhiki wokwesha mazino ne BAKING POWDER uchikwesha zvese kuzhe nemukati memazino. Zvadaro imbomira kana TEN minutes wozogeza ne TOOTHPASTE wosuka nemvura.  Baking powder inouraya maBACTERIA anooresa mazino uye inobvisa PLAQUE inogara pamazino ichinhuhwisa muromo.  


33Murume anoshandisa mubobobo kuvakadzi anozviita sei? Munhu anotaura nyambo kuti vamwe vawane chokuseka. Hakuna murume anoshandisa mubobobo pavakadzi nokuti hakuna chinohi mubobobo. Pachirungu tinoti CONCEPT chete kwete chinhu chinotoitika. Kutyisidzira varume vane vakadzi vavo kuti vaite INSECURITY pakugona kuchengeta mhuri dzavo. Hazviitiki. Hazvikwanisiki. Ukaziva kuti mukadzi wako ahura noumwe munhu, hwisisa kuti hapana mushonga washandiswa kudzivaidza fungwa dzomukadzi wako, asi kuti iye ndiye azvifungira kuhura. 
34Mukadzi anogona kusaenda kumwedzi here asina pamuviri?Zvinokwanisika kuti mukadzi asina mimba asaenda kumwedzi asi zvinoitika kashoma. Nguva yazvinokwanisika ndeiyi:
1 Kana mukadzi akaondesa 
2 Kana mukadzi akakoresa
3 Kana mukadzi achimwisa mwana
4 Kana mukadzi ane HORMONAL IMBALANCE
5 Kana akabviswa chibereko (womb) 

Zvisiri izvi, kana arega kuenda kumwedzi zvoreva kuti ane mimba. 

35Zvakanaka here kuzvipedza zemo uri wega?Zvakanaka chose nokuti zvinokudzidzisa kuhwisisa kuti muviri wako unonakidzwa nezvipi panyaya dzokuvatana nokubva zemo. Kana wazova nomhunu wekupota uchivata naye unoramba uchizvipedza zemo asi mamwe mazuva unobatsigwa noumwe wako. 

Pavanhu vese vaunoziva vane makore ari pakati pe 14 ne 70, vese zvavo vanopota vachizvipedza zemo. Vanhu vese munyika dzese vese vakdzi nevarume ndizvo zvavanoita. Ukahwa umwe achiti haazviiti, hwisisa kuti anoreva nhema. Asi kune vamwe vanoti akachata oderedza chose kuzvibatsira. 

Manakire ekuzvibatsira neekuatsirana, akati siyane zvishoma, uye kusiyana uku ndiko kunoitisa kuti munhu arambe achizviita achata. Garokurudzira umwe wako kuzvibatsira. Vanhukadzi kana ukasajaira kuzvibatsira unogara usina kuguta nokuti zvinonetsa kupedzwa zemo nechombo. Zemo romunhukadzi rinoda kuti pawane ane hanya nebhinzi. Unokasira kubva zemo kana ukajaira kuti uku murume ari kukukoira asi mukati uku iwe uri kuzvikwizirira bhinzi kana nyama dzakatenderedza bhinzi. 

36Zvinorevei kuvaviwa matinji? Ukazvitarisa pamberi uchaona kuti panobuda zvimvura zvakasiyana kuwanda uye ruvara, zvichibva nokuti inguvai yomwedzi. Kusiyana uku ndiko kunokonzera kuti dzimwe nguva pavave. 

Kozotizve kune vamwe vane ganda risingaenderani neimwe micheka yakagadziriswa mabhurugwa. Iwe muridzi tarisa kuti musi waunovaviwa unenga wakapfekei, uye kuti zvinoitika pese paunopfeka bhurugwa iroro here. 
37Kusangana pabonde musina kudzivirira mimba zvakanaka here? Kana muri murume nomukadzi vakaroorana uye muchigara mese, hapana chakaipa kusangana musina kudzivirira mima asi hwisisai kuti kusangana kwenyu kunokonzera mimba saka mofanira kunge muchida mima yacho uye mune mari yokuzokwanisa kuchengeta mwana. 

Kana makaroorana asi muchigara kwakasiyana hwisisai kuti vakawanda vanogara kwakasiyana vanohurirana saka munokwanisa kuti pakati penyu umwe anohura. Zvoreva kuti munokwanisa kupanana zvigwere, umwe agoita mimba futi mune zvigwere, mwana agoita chigwere. 

Kana musina kuroorana, kuvatana musina Kondhomu, zvoreva kuti mese muri vanhu vari RECKLESS vasinei noupenyu/noutano hwenyu uye hwevamwe vanhu. Kuvatana kunokonzera zvigwere uye kunoitisa mimba. Usati wavatana noumwe mumnhu, taurirana naye kuti munoda kudzivirira mimba sei uye munodzivirira zvigwere sei. Kana muri mahure, hazvina hazvo basa nokuti mahure agara anongozikamwa kuti ane zvigwere. 

Kana musiri mahure tangai maenda kunotesitwa kuti mese muzive pamumire nezvigwere zvechihure musati matanga kuvatana. Kana mozovatana moona kuti pakati penyu hapana umwe munhu wamuri kuvatana naye wamusina kubvumirana mese kuti moda kuvata naye uye kuti munoziva kuti TEST yake yakanzi chii. 
38Ichokwadi here kuti mukadzi anonyanya kus*irwa haaiti hasha mumba?. Mb**o ndiMatonhodze. Ichokwadi chose kuti vanhu vanowanzirana pakuisana vanhu vasingagari vachipopotedzana kana kutukana vese varume nevakadzi vavo. Hazvirevi kuti Chomo ndicho chinotonhodza mukadzi asi kuti muma menyu muri vanhu vanoita nguva muri mese muchipanana zvinonaka saka Munongova vanhu vasina nguva yokupopota. Kuisana kunogadzikanisa hana uye kunoderedza zvigwere zvakawanda mumba. 

Vanhu vanogaroisana zvakakwana vanomufaro kupfuura vanhu vasingaisani. Saka tingangoti ichokwadi. 
39
Ungazvione sei kuti mukadzi wako arikusvirwa nemumwe murume kana mukadzi achiita chipfambi? 
Vanhukadzi vane varume kuhura kwavo kwakasiyana nekwevarume vane vakadzi. Munhukadzi kana ada zvokuhura zvinonetsa chose kumubata nokuti kazhinji akoronga nyaya yake zvokuti haabatiki, uyezve kuhura kwake mafambire ako anoenderena nenguva yomwedzi. Vakaita RESEARCH vanoti ivo munhukadzi wese zvake anowedzera kuda kuisa nguva yokukandira zai kugopera vhiki miri akadaro. 

Nyakuhura anowedzera kuda kuiswa nomurume wake, asizve anohura futi nguva imwe cheteyo, zvoreva kuti uku murume anenge achitofara kuti ndazviwanirapo, ukuwo zvikomba zvichiwana pokutambira. Hino kuti murume azofungira kuti mukadzi ari kuhura, hazvichaiti. Kana akabata mimba murume anongofunga kuti ndeyake. Hapana kana nyaya inobudapo. Iye mukadzi chete ndiye anoziva kuti aakarhojana naye pasina makondhomu ndiani. Variko varume vakawanda chose vanorera vana mudzimba umu vana vasiri vavo.

Asizve vakadzi havangoiti chihure pasina chikonzero mumba kazhinji kuzhe kwekuti mukadzi akaberekwa kumhuri ine vabereki vanohura. Chihure chemukadzi anobva kumhuri kwayo chinoonekwa kuti chichaitika 

Murume haanetsi kubata kana achihura, nokuti murume akatanga kuhura pane chinototi chichinje chete muma make. Zvinochinja zvinozikamwa uye hazvinetsi kuongorora. 

40
Kunwa coffee une pamuviri kwakanaka here?
Coffee, Doro, fodya, High energy Drinks, Soft drinks, nezvimwe zvakazara shuga ne CAFFEINE, hazvisi zvinhu zvakanaka kuzvishandisa une mimba kana kuti usina. Kungoti vanhu takazvijaidza tsika dzisina utano. Ukawanza CAFFEINE mumuviri une mimba unokwanisa kuzvishaisa hope zvoreva kuti unoita mamwe matambudziko awange usingafaniri kuva nawo. Ukawanzisa shuga unokwanisa kugara uchibata utachiona kuzasi nokuda kwekuti unowedzera maDISCHARGE anobudako kana une mimba.  

Unofanira kuwedzera BALANCE pazvokudya zvako uye kuwedzera ma EXERCISE uyezve kukurudzirana nomurume wako kuti uwedzere kugaroiswa, zvinova zvinoitisa kuti kuzvara kukuitire nyore. Mukadzi anoiswa kakawanda ane mimba haagwadziwi nemimba pakuzvara nokuti maHORMONE ekuzvara anenge akawanda mumuviri wake. 

Zvese urume ne Kuita ORGASM kwemunhukadzi zvinobatsira pakuzvara. Kotizve kane une murume anofarira mazamu, mukurudzire kugaromwa mazamu. Zvinokonzera kuti mukaka utange kueredza mwana asati azvagwa zvozoita nyore kumwisa mwana. 
41Kuiswa uri kumwedzi zvinorwarisa here? Hapana chinorwarisa pakuiswa uri kumwedzi asi kungoti vakawanda vanozviona zvichisemesa. Pachikaranga hazvibvumidzwi asi vakawanda vanozviita nokuda kezvinhu zviviri zvinoti:

1 Kana uri kumwedzi zemo rinowedzera.
2 Kana chombo chomurume chamira haana basa kuti uri kumwedzi. 

Asi ingozama kuti usaisana nomurume uri kumwedzi. Murume haanetsi unokwanisa kuisa chombo chake pakati pemazanu wobata mazamu ako akaputira chombo iye wokukoira mazamu kusvika atunda. 

Unokwanisazve kuzora mafuta mumaoko womutambisa chombo kusvika atunda. Zvinotofadzawo kuona urume huchibuda. 

Iwe ndiwe unonetsa kupedza zemo kana uri kuwedzi. asi unokwanisa kuzvikwiza bhinzi kusvika waguta. 

42Runyoka chii? Runyoka hachisi chinhu asi kuti pachirungu toti i CONCEPT. Zvinoreva mushonga wekuisa pamurume wako kana mukadzi wako wekuti akahura noumwe munhu panoitika chimwe chinoitisa kuti vabatwe vachihura. Tiri kuti i CONCEPT nokuti hazvikwanisiki kuitika uye hazvina kumboitika asi vanhu munyika yedu vachiri kuzama kuti zviitike. 

Inyaya inopedzera mapenzi mari vachipa kuvanhu vakachenjera vanohi N'ANGA vanovarevera nhema kuti zvinokwanisika uitika asi hazviitiki chero zvodii. Zvinhu zvinodiwa chose kuti zviitike ndeizvi:

Kusamira kwechombo
Kukuti vari kuhura vanamirane vagotadza kubva pavaisirana
Kuti murume wako akazama kuhura anoshaya pokupinza chombo

Asi hazvina kumboitika saka hameno kuti ma SCIENTIST edu achazviita sei. 
43Kubuda kwemwana mudumbu kunofamba sei?Mwana kuti ave muchibereko (WOMB) hunge murume akupinza chombo muchitubu chako (VAGINA) moisana kusvika murume akudirira urume (SEMEN) muchitubu. Mhodzi (SPERM) dzeurume huya dzinodhida dzichienda mberi dzoonopinda kuchibereko dzotsvaka zai kusvika hwariwana. Mhodzi imwe chete inobatana nezai mwana ototanga kugadzigwa. 

Mwana anokurira muchibereko (WOMB) kwemwedzi mupfumbamwe. Panguva iyi hauendi kumwedzi nokuti haukandiri mazai. Kana mwana nguva yake yokuzvagwa yakwana, chitubu chako chinokura zvokukwanisa kuti mwana apfuure napo achibuda. Hapana mushonga unodiwa kana zvimwe zvinodiwa kuitwa. Mwana anongobuda kana nguva yake yakwana. Asi zvinogwadza mai vake, uye zvinokwanisa kutora nguva.

Kuti kuzvara kukuitire nyore, unofanira kugaroisana nomurume wako une mimba. Wowo kuti munoisana kakawanda iwe uchinakigwa nazvo. Mochenjera kusakutsimbirira dumbu kana mimba yakurisa. Ikavata nedivi murume ari shure ukasimudzira gumbo murume anopinza chombo nyore moisana. Kana wada kufongora zvinoita futi. 

Kuisana kwenyu hakuna zvakwakaipa pamwana. Chinhu chakatonaka nokuti unokasira kuzvara. Kune mwana kana ari muchibereko kure zvokuti hakusviki chombo. Mwana wokutanga zvarira kuchipatara asi kana uri kuZimbabwe gara wabhadhara mari kumanurse nokuti vamwe havana hanya newe. Bhadhara kuti vaite hanya. Ndiyo nyika yedu maitire ayo. 

44Kugona kubata murume pabonde kuita sei? Murume nomkadzi vakasiyana zvinovanakira pakuisana. Varume havanetsi. Vakawanda vanongoda mukadzi anohwisisa zvinhu zvisinganetsi kuhwisisa. Zvimwe zvazvo ndeizvi:
1 Kana murume achida kuti muisane saya zvauri kuita mumbisana. 
2 Ratidza kufarira kuisana nomurume wako. 
3 Kana murume ane maitire aari kuda terera uite zvaari kuda zvacho. 
4 Pakuisana chemerera kuratidza kuti zviri kunaka. 
5 Pota uchimbokwirawo murume, uye kumuudza kuti uri kuda kuti muisane. 
6 Jaira kubata chombo chomurume nokuchipurudzira. 
7 Isanai maitire akasiyana siyana nokuti zvinonakira mese. 
8 Mukadzi ita MANAGER wezvokuisana mumba mako murume agare achiziva kuti hapana musi waunoramba. Kutsamwa hakunei nokuisana. Iswa chete wakatsamwa kudaro Zvinotokupedza shungu. 
9 Ita utsanana pakuisana kwenyu. Usaenda kunovata usina kugeza, uye usina kupa murume mvura yokugeza. 
10 Mapedza kuisana pukuta chombo chomurume wozoona zvako wapedza zvomurume. 
11Murume akakumukira usiku reka muisane. Iwewo ukapepuka ukawana murume amure chombo, wana mukana wekuti muisane. Varume vanomira chombo kakawanda vari kuhope. 
12 Pakuisana shandisa chiuno chako kugamuchira murume uye panokwanisika batirira kurume ahwe kuti ari kudiwa. 
13 Kana makatarisana iwe uri manhede pasi pemurume. Ukahwa oda kunobudisa urume , isa ruoko panosangana magaro ake nemusana wokwizirira ipapo uku uchinatsosimudzira chiuno. Paanonotudza natsobatirira ari mukati uchishandisa chiuno kukama chombo semunyatso wemombe, uku usinga nyayi kufambisa chiuno. Murume anokupa zvese zvaanazvo ukaeredza uye akabatwa nehope haamuki kusvika kwaedza. 

Attitude yako pakuisana ndiyo inohi kubata murume zvakanaka. 
45Chii chinokonzeresa kubuda mvura inonhuwa kuzasi?Nguva nenguva munhukadzi wese anobuda mvura inonhuwa zvkuti iye muridzi anohwa kunhuwa kwake. Zvinoreva kuti une INFECTION. Vanhukadzi vanoita maINFECTION akasiyanasiyana asi ane mabato maviri. 

Pane anongoitika pamunhu zvichibva nokuti maBACTERIA aitika akawandisa panzvimbo yaasingafaniri kuva. 

Kozoiitazve maBacteria kana VIRUS anenge abva kuneumwe munhu anawo zvichibva pakuisana.  

Kana ukahwa kunhuhwa kwekuzasi kasira kundoonekwa uudzwe kuti une INFECTION ipi upiwe mushonga ugoushandisa zvakanaka kusvika wapera. Usamira kumwa mushonga kusvika wapera. 
48Murume angaita HIV here mukadzi asina asi vachirara vese?Zvinoitika kana murume akahura akabata HIV akauya nayo kumba. Mukadzi anozobatawo hake asi panokwanisa kuita kanguva kapfupi panoti vakaenda kuTEST vanoti uyu ane HIV uyu haana. Asi vakazodzokera vese vanobatwa. 

HIV inobatwa nenguva yakasiyana kuvanhu vakasiyana. 

47Chibereko chinonzi chii neChirungu? Tarisa apo pakanoperera nyaya yakanzi "Kuziva mamirire akaita mukadzi nomurume"  Painoperera pane tsananguro yokuti mavara anorevei nechirungu uye nechiSHONA. 

Kuziva mamirire akaita mukadzi nomurume.


48Chii chinoita kuti mai vari kuyamwisa varege kuenda kunguva?Kana uchangozvara mwana uye uchimwisa mwana panoita kanguva kekuti haukandiri zai kureva kuti hauendi kumwedzi. Asi vashomanana vanhu vanorebesa nguva iyi. Inokwanisa kukandira zai ugotadza kuziva kuti wakandira. Unozoziva watobata mimba. Hwisisa kuti unokwanisa kubata mimba mwedzi usina kupera wazvara, asi haubvumidzwi kuvata nomurume kusvika mwedzi nehafu wapera kureva kuti unokwanisa kutobata mimba vhiki yamunotanga kuvatana chaiyo. 

Shandisai makondomu kana musingadi mimba nokukasira. 
49Murume wangu anongoda kuti ndimukwire nguva dzese. Zviri normal here izvi? Anondikwira maybe kamwe chete pavhiki. Dzimwe nguva dzese anoti ndimukwire. HELP!Hapana chakaipa kuti umukwire. Kana uchitziva zvaanofarira chitowanza izvozvo. Kune vakawanda vasingatombozivi kuti varume vavo vanoda chii. Havatauri nezvazvo. Murue ndewekugarobvunza kuti anodei nhasi. Kana ataura womuitira zvisinei kuti iwe hazvisirizvo zvaunoda nguva iyoyo. Kana akaziva kuti unomuitira zvaanoda anokuitirawo zvaunoda. Haisi nyaya yokukomburena. 

Kuti umukwire akatoona kuti unogona basa kana wakamukwira saka zvinomufambira. Iwewo chiwana kuti zvinokunakirawo nemaitire ako pese paunomukwira. Ukasiyanisa mapindire echombo uchahwa kuti kunaka kwacho kunosiyana siyanawo zvowedzera kunaka. 
50Ndoda kudya mukazi wangu uye kuti iye andidyewo but I don't know how to ask her. Kana uchisvoda, dzima marambi mobva mambowedzera kutamba womupa inohi tongue bath, Kukisa muviri wese uchidzira zasi ne sipidhi shoma. Wombomira pamazamu, wonomirazve paguvhu, ruoko guri pamberi womuti asafakanyika. Wodzira zasi wotanga nokupfuura uchienda kuzvidya wodzoka wopfuura woenda kuguvhu, Wodzoka womboita zvokukisa matinji wopfuura futi. Wongozoti mirei ipapo wokisa zvinyoronyoro wombopfuura futi, uchiona kuti anodii, zvikuru mafemere ake. Ukaona kwakanaka womirapo nguva refu asi usawanza puresha pabhinzi kuzhe kwekuti iye akubatirira musoro achikusimudzira. Mapedza mbundikira mukadzi wako aswedere pedo newe kuti azive kuti hapana chakaipa uye wanakigwa nezvamaita. Kana mada kutaurirana muudze kuti anonaka chose kudya uye zvakupa zemo. Bvunza kuti iye ahwa sei. Chiitai nyaya muri pedo pedo wakamubatirira pedo. 

Kana zvangitika musi wekutanga, chigaroita kaviri pavhiki kuzhekwekuti iye ati ita. Uchaonawo iye otsvaka mukana wekukuitawo.  

Pamwe iyewo ari kutoshaya kuti otanga nyaya sei.