Tuesday 5 June 2018

Ukapoya ukabata siki unouya sei kumba.

Kuuya kumba une siki. Ukaziva kuti wabatiswa siki nechikomba/hure unoita sei kuti umwe wako asabata siki? Vashomanana vanobudirana pachena, nengari yokutya kufumugwa kana kutorambwa, saka pane maitire here okuti usapa umwe wako siki. Mazuvano siki dzimwe dzavako hadzirapiki saka unenge usingazivi kuti siki yawabata ndeipi, ipapo haudi kuti umwe wako azive kuti une siki.

Mukore uno ukaterera nyaya dzinobva mudzimba unohwisisa kuti kuhurirana kwawanda chose kupfuura kare. Kare zvaityisa kuhwa kuti nhingi akabatwa achihura. Mazuvano vese vakadzi nevarume vanohura, chero kumamisha chaiko vanhu vanogariswa dare naSabhuku nenyaya dzokuhurirana mudzimba uye kuhura nevarume/vakadzi vevanhu.  Zvinotozikamwa kuti mai Nhingi murume akaenda netsuro akavapa, anovhurigwa makumbo. Baba nhingi vanozviziva asi hapana zvavanoita. Vanongobikigwa sadza votodya netsuro iya votofarawo kuti nhasi tagwangura zvinofadza. Zvokuzoti mukadzi abuda akandotenda muvimi havana basa nazvo.

Asi pano tiri kutarisa nyaya yokuti une mukadzi/murume asingadi kuti umuhurire. Iwe nomusikahwa wako wobuda mumba wondohura, wobata siki. Tiri kubvunza kuti unoita sei kuti nyaya mumba ipfuure zvisina kuwedzera dzimwe nyaya dzakaita sokuti unopa murume/mukadzi siki?

"Murume weshamwari yangu akawana basa kuZimbabwe iv vachigara kuUK. ndokusiya mukadzi achishanda ku UK, iye ndokuenda kuZimbabwe kunoshanda. Vana vaviri ndokusara noukadzi ku UK. Kwahi chimbosara makore maviri ndofanoenda, ndonovakisa imba, iwe nevana mongozosvikopinda. Akasvika kuZimbabwe ndokushanda, ndokusangana noumwe mukadzi aihurawo nevamwe varume atiri ne HIV nechekare. Ndokubata HIV iya. Akaziva kuti ava ne HIV ndokuzama kuti mukadzi asauya kumusha. Uku mukadzi paakahwa vanhu voti murume wako ari kugara neumwe mukadzi, akakwira ndege nevana ndokuenda kumurume wanei pane nyaya. Akazobata kuti murume ari pamapiritsi murume aramba zvachose kuvata naye asi asingatauri kuti ingari yei. 

Kubva muna 2014 kusvika pari zvino murume akaramba zvachose kuvata nomukadzi wake. Kwahi chero kushandisa makondhomu handidi. Kwahi hatingaiti HIV tese. Vana nanoshaya anorera kana tikafa. Saka murume kana oda zvokuvata nomukadzi anoenda kuhure rakamupa HIV. Kana mukadzi odawo zvokuvata nomurume haana kwekuenda. Vakuru vemhuri vakauya vakazama kutonga nyaya asi murume akati ini mukadzi ndinomuda saka handidi kumupa zvigwere. Kana asingadi kugara ngaaende. Kana achidi kunditi ini ndiende ngaataure ndiende asi kuvata naye hazvichaiti. "

Iyi nyaya yange iri yechigwere chisingarapiki. Ko kana ukabata chigwere chinorapika ungaita sei. kuti usapa umwe wako. Ngatihwisise kuti kana watanga kuhura, kazhinji unowedzera kuisana kumba kuti umwe wako asafungira kuti pane zvausiri kuwana.

Hezvinoi zvinoitwa nevamwe kana vabata siki:

1 Ukavata nehure/chikomba ukabata siki, wouya nesiki kumba, wovata nomurume/mukadzi wako womupasi siki, wobva wakasira kupomera mukadzi/murume wako mhosva yokuunza siki mumba, kuti pashaye anokufungira.

2 Ukavata nehure/chikomba ukabata siki, woenda kuchipatara worapiwa pachivande. Uku wotsvaka mazano okuenda kundovhakasha kushamwari kana hama uchimwa mushonga, wodzoka wapora, usisakwanisi kupa umwe wako siki.

3 Ukavata nehure/chikomba ukabata siki, woenda kuchipatara worapiwa pachivande. Uku kurwara uri kumba kuti umwe wako asada kuvata newe kusvika warapwa ukapora. Zvoreva kuti kubasa unorovha mazuva iwayo.

Kana tichitarisa nyaya idzi dzese tinohwisisa kuti munhu anokwanisa kubuda mumba agovata nehure/chikomba asina kondhomu, haasi munhu aungafungira kuti anoita hanya nokusakupa siki. Saka mhomho yevanohurira vamwe vavo vachibata siki, vari muboka rokutanga iro. Zvoreva kuti nyaya yatinayo pano ine vashomanana vanota abata siki ofunga mazano okuti umwe wake asaibatawo kubva kwaari. Ndipo patiri kubvunza kuti unozvifambisa sei.

Unoudza umwe wako kuti wahura ukabata siki here kana kuti unogadzirisa nyaya pachivande?



Tiudzeiwo kuti zvingaitwa sei?


Mazano ekurumura mwana

Tichada kumbotaura nezvokurumura mwana. Kana ukasanatsa kuhwisisa nyaya iyi mese mai nomwana munoshushikana chose panguva yokurumura. Saka ndichambotaura nezvazvo kuti tione zvatingahwisisa.