Sunday 30 November 2014

Hama inogarokumbira mari

Mari chinhu chinonetsa kuwana asi tese tinokwanisa kuiwana nemitowo yakasiyana siyana. Kune vamwe vanhu vanoona zvokushanda zvichivaremera asi mari vachoingoida sezvinoita vamwe vese. Unoona pavanhu vasingadi kushanda apa pane mabato maviri. Kunoti vamwe vsina hanyu nokuti mari vanayo here kana kuti kwete, kusvika pakufamba vakapfeka zvinosvodesa, chero kuchechi vanouya vasina kusimira zvakakodzera imi muchitoziva kuti havana nhumbi dzokupfeka dzakakwana.

Koita vamwe vanongoti napo napo atosvika otokukumbira mari. Ukamupa, anodzokazve kwapera mazuva maviri oda imwe mari futi. Anokwereta mari kubva kuneyokugaisa kusvika kune yokutengera mwana bhutsu dzeyunifomu yechikoro. Mwedzi umwe noumwe anenge ari pamba pako kana pafoni achida mari. Ipapo iwe unomukira kubasa iye achizomuka kuma 8 zvake zuva rakwira.

Kana achigara pedo nemi, munoudzwa zvese zvinoda mari kumba kwake. Kuseni anosvik pamba muchangopedza kubika tii, omwa nemi oenda imi pamunodzokera kundosakura munda. Ukamutengera mbeu hazvibatsiri nokuti SKILL yokurima haana.  Gore richinopera hapana chaanokohwa saka vana vake vanowana zvokudya kwamuri. Ukamukumbira kuti asare pamba achirinda musha iwe uchindovhakasha kure anokuudza mabhikozi akawanda kusvika wandotsvaka munhu wekubhadhara mari kuti arinde musha.

Munhu akadai munhu wekuti mukasataurirana mumba menyu zvakanaka munokwanisa kuzotukana nokuti kwezviito zvake asi iye ari hama yenyu. Mukadzi anokasira chose kuona hama dzemurume dzakadai murume asati azvibata, iri ngari yokuti murume akakura nehama iyi saka anongoona sokuti munu kwaye. Mukadzi azouya kwenyu akura saka anoongorora zviito zvehama dzemurume achiona kuti uyu akati uyo akati. Mabatire aanozoita hama idzi anokwanisa kupokanisa musha wenyu.

Mutemo wekupa vanhu zvinhu unoti unofanira kupa munhu chinhu chinomubatsira kuita chimwe chinhu muupenyu hwake, kwete kumupa mari nokuti achaishandisa agoda imwe futi kana iyo yapera. Ukazogaromupa mari wava kutoremadza munhu kuti asafunga mawanire aangaita mari ega. Kune hama dzinopiwa mari dzinoti:
1 Chembere dzapfuura makore 65 dzaisisagoni kushanda kana kuva nevashandi
2 Vana vasina vabereki vanoda kureriwa
3 Vanhu vakaremara vasina zvavangazvibatsira nazvo.

Vamwe vese ava unofanira kugara navo pasi moronga mazano okugadzira mari kwete kumupa mari. Asi kana ati anoda mari yebhazi kuti aende kuINTERVIEW yebasa kana kuenda kunodzidza kosi yebasa, haa mupe hako wakasununguka.

Unohwa munhu achiti anoda mari yokutenga chinhu chausina iwe uye chisingazomuunziri mari chakaita sefoni, TV, Video Camera, etc, iwe wotoshaa kuti munhu uyu anokuona seBhanki rizere mari here kana kuti ari kutamba newe.

Usamupa mari. mupe zvinhu zvinomuwanisa mari uye zvinomuita ashandire mari yake. Kune vanhu vanogara kumusha kune mvura yemahara, nemufudze wemahara, asi uchaona kuti vanotambiriswa mari dzinobve mhuri kwemakungwa uye mhiri kwenzizi zvokuti vanongoswera vasina chavanoita vakamirira mari kuuya kuti vagonotenga zvavanoda vasina kumboshanda. Munhu akadai musi waunofa ndiwo musi waanotangawo kufa asi ndiwe wamupinza padambudiko.

Munhu aneutano, ane makore ari pasi pe 65 anokwanisa kurima muriwo nokuchengeta kuhu, nokusima miti yemichero, agotengesa zvinhu zvake achizviwanira mari yake. Kana wada kumubatsira tenga mhodzi dzemuriwo, nebadza nepiki, nebhara rokusengesa zvirimwa, nengoro yokusengesa mufudze. Wochimutengera mabhuku okuverenga zvokuita uye kumubhadharira kuenda kukosi yezvaanokwanisa kuita. Kana wadaro wamupa ufumi.

Iwe nomurume/mukadzi wako hamuchafi nemaSHIFTS kubasa muchifira kuremadza vanhu vakasimba. Hamuchawanzi kutukana mumba mari ichishota. Hamuchawani magwaro emuWhatsAPP kana FaceBook kubva kuvanhu vamakatengera foni dzinodhura kuti vakupantsanisei mudzimba dzenyu. Hamuchaudzani nhema mumba kuti muwane mukana wekubudisa mari umwe asingazivi, Hamuchavati makasvinura usiku muchifunga kuti achabhadhara mari yevana vechikoro vasiri venyu ndiani. Kuremadza umwe munhu kuzviremadzawo pachenyu.

Iwe kana ukaroorana nomunhu kuDiaspora, ukawana munhu uyu ari munhu ajaira kutumira mari kuvanhu vasina ugwere, vasina mabasa, vane simba rokuzvarisana asi vasina simba rokuriritira vana vavo, ukada kuaura noumwe wako kuti nyaya iyi haiite, uchaona kuti munopokana. Saka ini ndiri kukuudza kuti kana musikana/mukomana wako atogara aremadza vanhu vemhuri yake, ukazviziva chirega hako kuroorana naye nokuti nyaya yake haiperi. Ukasaterera zvandiri kutaura pano, uchazodzokazve pano wobvunza kuti zvoitwa sei nokuti musha wako hausi kuvakika.

Kune hama dzinouya pamusha penyu dzoda kugarapo dzichitsvaka basa. Hapana chakaipa kuti munhu atsvake basa ari pamba penyu asi tinona kuti vamwe vehama idzi anoti asvika, ukamutsvakira basa rokufanoita achitsvaka raakadzidzira, unohwa munhu oti haaiti basa rakadaro, asi iwe kuti usvike pauri wakatsvaira mumafakitori, kukabikira mhuri dzaida kubikigwa, ukaaina hembhe dzevanhu, ikadii ukadii, kuti zvifambe. Nhasi wazotenga imba, munhu ouya kumba kwako okuudza kuti haaiti basa rakadaro. Zvinoreva kuti haahwisisi kuti upenyu hwakagadzigwa nei. Ipapo ndiwe wakamupinza chikoro nemari yomaricho.

Ngatitaurire hama neshamwari chokwadi pane zvatinoita kuDIASPORA kuti mari ikwane pane zvatinoda muupenyu. Tadaro todzidzisawo hama kuti kuzoti vawane mari basa rinenge rashandhwa.

Mumazuva akapera kumusha kune nhamo, waiona vanhu vari mhiri vachishanda maawa anoita 90 pavhiki kuti vawane mari yokutumira kumusha uye kuzvichengeta. Vamwe vakatenga dzimota, mabhazi, nechi nechii kutumira kumusha kuti variko vabatsirike. Asi waiona kuti hama yawasarudza kuti ishandise mudziyo inouraya mota iya yobva yakutumira gwaro rokukukumbira mari yokugadzirisa bhazi riya yawange wambotenga. Ipapo agara naro mwedzi nemwedzi achiwana mari achidya nemahure ake.

Kana wafunga chinhu chinohi INVESTMENT, chironga yokuti munhu anofanira kuita manager aende kuTRAINING yokuhwisisa kuti BUSINESS rinoitwa sei uye chii chinodiwa kuti mari ichengeteke. Zvadaro unomutsanangurira kuti anofambisa sei vanhu vanoda kumukwereta mar vasingazodzosi. Anokweretesa yake kwete ye BUSINESS.

Dzimba dzamunotumira mari dzichivakwa, dzimwe dzichiita makore maviri imba isina kupera asi mari yaenda, dzinopokanisa vanhu mumba nokuda kwekuti mari yashandigwa iyi asi yadyiwa nomunhu wehama asinei nokuti wakaiwana kupi. Munhu zvitorere Leave, uende kumusha wonotsvaka Company inovaka imba yovakwa yopera uriko muridzi, Zvinodhura hazvo asi uchaona kuti imba inomira. Ukada kupa hama mari unobvisa mari ugoshaya imba. Ugotukana nomukadzi/murume wako pazviri. Ugoshaya sara usina chaunacho.

Isu tisi tinokvadza hama dzedu nokusavaudza chokwadi kubva pakutanga. Iwe kana une foni ye USD 150 usatengera umwe munhu foni iri pamusoro pe mari iyoyo. Kana achiida ngazvishandire aitenge ega agoziva kukosha kwebasa remaoko. Musi waunohi wafira muzhira yeJubheki, anokuchama hake asi anorarama usipo.

Zvimwe zvinhu zvatinotukanirana mumba hazvina musoro. Zvinoitiswa nokusahwisisa kuti tiri kuremadza vamwe vanhu. Kuti uite musha unokura tanga wariritira vana vako zvisingazokunetsi mberi. Vana ndivo vanhu vanofanira kupiwa zvinhu asi usingavaremadzi futi.

1 Tora insurance yokuti ukafa vana vanowanawo mari yokurarama nayo. Kuno ku UK mari inoita £20 pamwedzi, inotenga Insurance inopfuura £100 000.
2 Tenga insurance yokuti vana vako vakwanise kuenda kuUniversity kana vakura.
3 Tengawo imba kunzwimbo yakati nakei kuti vana vako vasashamwaridzana nevanhu vasina unhu.
4 Kana vana vako vasinganatsi kugona muchikoro, bhadhara mari vana vawane munhu anovadzidzisira kumba kuti vadzidze vagokwanisawo kuita zvavanoda.

Hino kana wagona kufunga zvinovaka vana vako chifungawo zvinovaka hama dzako nedzomukadzi/murume wako kuti mese muenderere mberi. Kwete kuti umwe ari kushanda vamwe vakangomirira mari yokupiwa vagere zvavo. Bodo. Taurai nyaya iyi mumba zvakanaka kuti musapokana pakufunga nepamaitire.

Mwadhi dzinokomburena pakusahwisisana mudzimba dzawandisa pamusoro pemari dzinopiwa hama nomukadzi kana murume. Dzimwe mari dzacho hadzisi pa Budget. Mumba mosara musina mari yakakwana.

Kana umwe wako akakomburena nenyaya iyi chitoziva kuti haipereri ipapo saka garai pasi muitaure muronge zvokuita zvinovakawo musha wenyu. Misha yakawanda inoputsika kana mukadzi asiri munhu anogona kuvaka. Zvinotangira pakusaziva BHAJETI. Tine basa guru rokudzidzisa varume vedu kuti musha unoda mazano evaviri asi mukadzi ndiye Prime Minister wemusha, Murume President.

Udzai Vamwe!!!






Thursday 6 November 2014

Murume asina mukadzi wekuvata naye:

Ndakambonyora nenyaya yokuti kugarorhojana nomurume/mukadzi wake kunodzivirira zvigwere zvakawanda. Pano ndoda kungotaura nenyaya yechigwere chimwe chete chinoitika kuvarume, uye chinoderera kana murume achihwisisa kuti muviri wemunhurume unofanira kugara uchishandiswa pakuvatana noumwe munhu. Kugarobudisa urume chinhu chinodzivirira zvigwere. Chimwe chezvigwere izvi chinohi PROSTATE CANCER. Ndiyo yandinoda kumbotaura nezvayo. 

Kana uri munhu rume wava nemakore anopfuura  15, muviri wako unogadzira urume nguva dzese. Uchaona kuti kazhinji unomuka wakazvirotera (urume hunongobuda muchombo iwe uvete). Ichi chinhu chakanaka kuutano hwako nokuti zvinosuka chifakitori chinogadzira urume chinohi PROSTATE. Uchaonazve kuti kubva pazera iri zvichikwira vakomana vakawanda (95% mupasi rese zvisinei norudzi) vanotanga kuita zvechimhandara maoko vachizvibudisa urume nguva nenguva.

Kunozoti wava nemakore 25 zvichikwira unotanga kufunga zvokuroorana nomusikana moronga yokuvaka musha wenyu muri vaviri. (zvinohi vanoroorana vari pasi pemakore 25 michato yavo haigari nguva isina kuputsika, hazvinei kut muri kunyika ipi). Zvadaro murume anoderedza zvechimhandaramaoko otanga kurhojana nomukadzi wake upenyu hwake hwese. Varume vakawanda vanochembera kusvika kumakore anopfuura 80 vachingokwansa uye kuda kuvata nomukadzi. Vakadziwo, kana achingokwanisa kunyorova kazhinji anoda kuvata nomurume wake chero achembera. Kunyika dzakaita se UK kunoti chembere dzinochengetwa mudzimba dzechembere (OLD PEOPLE’s HOMES) uchaona kuti vachembere vanosanganamo vonyengana, voroorana vorhojana imomo.

Pakuti murume aroora anoramba hake achiita chimhandara maoko nokuda kwemanakire azvo akasiyana nokunaka kunoita kurhoja mukadzi wake asi uchaona kuti anowanza akada kurhoja mukadzi. Ngari yazvo zvese ndeyokubudisa urume mumuviri zvinova zvinosuka chifakitory che PROSTATE. Nyaya inozoonekwa ndeyokuti pane chigwere chinohi PROSTATE CANCER chinobata varume vakawanda.  Kune vakaongorora chigwere ichi chose vakaona kuti chinowandira varume vane zviito zvakafanana muupenyu hwavo. Zvakaonekwa kuti vafundisi vekereke inohi ROMAN CATHOLIC CHURCH ndivo vakawandisa pachigwere ichi. Zvotariswa zvakaonekwa kuti chikonzero chechigwere ichi kugara murume asingabudisi urume nokusasura PROSTATE dzake.

Vaongorori vakazotarisazve vamwe varume vanoita chigwere ichi ndokuvabvunzurudza ndokuhwisisa kuti  kune varume vanowanza vaita chigwere ichi vanoti:
·         
  •     Murume asina mukadzi wekuvata naye
  •         Murume ane mukadzi asi asina hanya nokumurhoja
  •         Murume asinei nokuita chimhandara maoko uku asina mukadzi
  •         Murume asingamiri chombo zvokukwanisa kurhoja mukadzi kana kuzvibudisa urume
  •        Murume anoshanda muhofisi anoswera akangogara pacheya uku osanovata nomukadzi zvakakwana. 
Varume vemapoka awa ndivo vanowanza chigwere ichi. Zvakaonekwazve kuti kunyika dzinokurudzira varume kuwanza kuvata nevakadzi vavo, chigwere ichi chishoma. 

Murume kwaye anofanira kuroora ari pamakore 25-28. Zvokuzosvikawo 30 kushaya mabasa kana kuti kutya vanhukadzi, kusagona kunyenga,

Vanhukadziwo ukazozvika makore 25 usina kumbonyengwa zvoreva kuti pane chausiri kugona. Hazvinei nomunyama izvi. Kuzvisarudzira chaiko. 

Cancer inotanga sei kana murume asingabudisi urume? 
Chii chinofanira kuhwisiswa nevarume panyaya iyi?
Vakadzi tingabatsira sei varume vedu kuti vasaita chigwere ichi? 

  Tichaendera mberi nenyaya iyi !!!!

     


Wednesday 5 November 2014

Zviminyamutundo

Zviminyamutundo (stretch marks) zinowanikwa pavanhukadzi kupfuura pavanhurume asi variko vanhurume vanazvo. Koita vakawanda vanazvo vasingazvifariri asizve kune varume vakawanda vanoona zvesvinhu zvakanaka uye zvinoyevedza kan zviri pamunhukadzi.

Zvinowanzoitika pamakumbo kwese kuzvidya nokumupimbira zvichiwanzoonekwa kumashure. Zvoitikazve pamaoko kuno kumusoro koinda kumafudzi. Zvoitikazve padumbu kana pamazamu. Vamwe vanozviita pamagaro nomuchiuno.

Zvinoitiswa nei:
Ganda remuviri wemunhu rune makanda matatu (three layers).
Kunoti repamusoro rinova ndiri ratinoona pamunhu,
Koti repakati rinova rine midzi yevhudzi.
Kozoti repazasi rine tsinga dzeropa dzakawanda

Makanda awa anokura nokutatamuka zvakasiyana zvokuti kana ukakasira kukora ganda repakati rinobvaruka zvoonekwa paganda repamusoro sechiminyamutundo.

Chikuru chinoitisa zviminyamutundo pamunhu kukasira kukura panguva dikidiki, Sokuti musikana kana ava kuita mhandara anokwanisa kukurisa panguva diki oita zimuviri. Ipapo anobva aitavo zviminyamutundo pane zvimwe zvemuviri wake.

Koitazve kuti munhukadzi akaita mimba anokura dumbu nenguva shomanana obva aita zviminyamutundo padumbu.

Kotizve mazamu akakasira kukura, sokuti musikana nguva yaanoita mhandara ine mazamu makuru, mazamu okura nenguva diki anobva aita zviminyamutundo. Kune vasikana vane zvizamu zvidiki hazviitiki.

Kana watoita zviminyamutundo, zvinonetsa kuti ukwanise kuzvibvisa. Zvikuru kana waita padumbu iri ngari yemimba. Vanhukadzi vakawanda vanoti mimba ichizvara, zviminyamutundo zvisati zvapera iye woita imwe mimba dumbu riya rokura futi.

Chimwezve chinokonzeresa kuti muviri wako unge uchigadzira HORMONE inohi CORTISOL yakawandisa. Koitazve vamwe vanhu vanoshandisa mishonga inohi ma CORTICOSTEROID zvisirizvo. Izvi zvinokonzera kuti ganda repakati risatatamuka pakukura kwemunhu robva rabvaruka roita chiminyamutundo.

Muviri wemunhu unokura kana akatanga kudya zvokudya zvine mafuta akawanda. Unoona vanhu vanoenda kunyika dzinotambigwa mari yakawanda vachibva kwedu, vanoramba vachibika nemafuta ekubikisa semaitire ekwedu asi zvozosiyana kuti havashandisi simba pamagarire avo nokuti hakuna mimda uye kune mabhazi nemota zvokufambisa kwese kwese kwawada kuenda saka ENERGY iya aichina kwekuishandisa. Munhu oramba achidya oita muviri mukuru zvidya, mazamu, magaro, tsvpfu zvese zvokura nokukasira woona pave nemitsetse.


Kurapa zviminyamutundo
Zvinorapwa nokugara gana rankanyorova ne mafuta. Kana une mimba kana kuti iri nguva yako kana yemwana wako kuti akure kuita mhandara, unofanira kukurudzira mwana kuzora mafuta akakondera zviminyamutundo zvisati zvatanga. Zvikuru kana munhu ane mumhu mukuru. Vanhu vatete havawanzi kuzviita kumakumbo, magaro mazamu kana musana sezvinoita vakobvu.

Vamwe vanoti kana waita mimba shandisa zvinhu zviviri padumbu zvinoti mafuta zvoti urume hwemurume kugarozora paunohwa pachitatamuka sepakapoteredza guvhu. Urume hahunetsi kuwana. Kana muchivatana paya murume oda kudiridzira anongobudisa chombo chirutsira padumbu iwe wopukutirapo sezvaunoita mafuta. Wombosiya zvakadaro wozonogeza hako pamboita nguva kana kungosiya kuzvika mangwana wogeza wozora mafuta.

Kotizve murumewo ngaaita nguva achipurudzira dumbu romukadzi wake ane mimba. Sokuti muchiona TV paya musina henyu chimwe chokuita. murume anokwanisa kuwana nguva yokupurudzira ~(Light massage) dumbu. Mukadziwo haangashayi chokutamba nacho pamurume wake panguva imwe cheteyo. Zvikuru kana iri mimba yokutanga.

Kune vamwe vanhu vanoona urme sechinhu chine tsvina zvokuti vamwe vakadzi vanongoti akapedza kurhojewa otosimuka onogeza. Chinozoshamisa ndechokuti kana urume iri tsvina sei uchiregera murume achihubidisira mukati mako mahunopedza vhiki yese hurimo? Hapana chakaipa urume kana murume wako asina chigwere.  Kana watobvuma kurhojana nomurume wako chihwisisa kuti uchatopiwa urume chete. Iwewo kuvhurira murume kuti akupe urume saka nani kutohushandisa mabasa ese ahunogona. Jairana nourume hwemurume wako. Iyewo achikuona uchitamba nahwo anowedzra zemo futi okupa humwe futi.

Varume:
Kune varume vanoti akaona zviminyamutundo otomira chombo. Kwahi zvinoitiswa nemamirire (DIRECTION ) yazvo nokuti nezita razvo zvinova zvinoita kuti murume afunge kuweta kwemukadzi weti ichibva pamberi. Murume kazhinji akangofunga pamberi pemukadzi chombo chinomira. Varume vakadai ndivo futi vanoti akakuona uchiweta otoita zemo. Zemo iri hariitiswi neweti asi kuti murume anofunga pari kubuda weti yacho obva aita fungwa dzekuvata newe.

Koitazve varume vasingafariri zviminyamutundo izvi. Vanofarira makumbo akatsetseka pamunhukadzi. Iwe hwisisa murume wako kuti zvinhu zvaanofarira ndezvipi. Uyezve hwisisa kuti ndiye anokuona usina kupfeka kureva kuti anoona muviri wako wese sezvauri. Hino unokwanisa kuzviita pamazamu, magaro, makumbo nepadumbu zvoreva kuti chero paatarisa anozviona. Iwe hwisisa kuti anozvifarira here kana kwete. Kana wafunga kuti haazvifariri, enda undotenga madhirezi ekuvata nawo, akanaka zvokuitisa murume zemo, Wadaro wogaropfeka pakunovata kana kuti pakumuka kuti murume aone muviri wako wese asi asinganatsikuona zvakaita ganda rako. Zvimadhirezi izvi hazvidhuri asi zvimwe zvacho zvakanaka chose uye kune varume vakawandisa vanozvifarira kuona.


Vakadzi:
Zviminyamutundo pamakumbo. 
Vakadzi vakawanda havadi kuita zviminyamutundo saka unoona vachipfeka nhumbi dzinozvivhara. Vamwe vashoma havanei nazvo. Vanongoona sokuti zvinhu zvinoitika kuvanhu saka hazvinei. Mazuvano vanhukadzi vanoudzwa zvakawanda panyaya dzemiviri yavo, zvokuti vanogarofunga nazvo. Saka uchaona kuti vanhu havachadi kuonekwa vane zvinhu izvi. Asi kana waita mimba kashoma kusazviita padumbu.

Kana ukazviona zviri pamunhu ane ganda risina kunyanyosviba hazvina kunaka.

Varume: 
Kana murume akaita dumbuzenene, zvikuru nokumwa doro kana kushaya Discipline pakudya, anokwanisa kuita zviminyamutundo padumbu kana maoko kana makumbo. Isu vakadzi tisu tinofidha varume vedu. Ngatidzidze kufidha zvakanaka. Kurega murume achikoresa kutomuuraya, nokuti anokwanisa kuita TYPE 2 Diabetes kana kuita heart condition.



Udzai Vamwe !!!!!!