Sunday 31 December 2017

Kushuvirana Zvakanaka Mugoredzva 2018

Ndinokushuvirai zvese zvinhu zvakanaka mugoredzva ra2018. Ndinoziva kuti mese muchashuva kuva noupenyu hwakanaka mugore iri uye muchashuvirawo hama dzenyu neshamwari dzenyu upenyu hwakanaka.

Kune vakawanda vatange tinavo muna 2017 vationeka vakatisiya muupenyu. Kune vamwe vavo vatisiya tisina kuvaudza kuti tinofungei paupenyu navo.

Kumhuri dzedu nevana vedu. Dai zvaikwanisika taikwanisa kutanga gore nokutarisa nyaya dzatakakanganisirana muma dzatichiri pakugumbukirana, todzigadzirisa. Kana uchiri pamwe chete nomurume/mukadzi wako, zvoreva kuti hausi kuda kusiyana naye. Zviri nani kugarisana zvakana pane kugumbukirana. Kutanga kwegore kunobatsira kuti tese tinowana pokutangira. tinopiwa mukana wekuregererana nokukumirana regerero.

Enda kumurume/mukadzi wako umuudze kuti zvawakaita gore ra 2017 zvokuti nezvokuti nezvokuti pakuona kwako zvakaipa uye hauna kufara nokuzviita kwawakaita. Gore rino ra 2018 uchaedzawo kuita zviri nani uye kushanda pamwe chete pakuvaka musha wenyu.

Kutanga kwegore kune zvakawanda zvamunokwanisa kutangazve mumba menyu. Rongai murangane pokutangira. Ita vhiki yese uchifunga noupenyu hwako nomurume/mukadzi wako. Vhiki ikapera garisa umwe wako pasi mutaudzane nezveupenyu hwenyu.

Usarega gore richiita vhiki yokutanga usina kufunga nokugadzirisa nyaya dziri kushusha musha wako. Kushuva hakugadzirisi nyaya. Kugadzirisa ndiko kunogadzirisa nyaya.

Ivai negoredzva rakanaka.!!

Mivunzo nemhinduro 14

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 13 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 14. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 13, 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO
Ndatenda




Mubvunzo

Mhinduro

 Mwana kutamba nhova zvinoitiswa nei?Veduweeka, nyaya iyi yanetsa. Mwedzi umwe noumwe inobvunzwa kakawanda chose. Mwana kana ane nyota nhova inotamba. Kana ukaona nhova yomwana ichitamba, ipa mwana mvura kana kuti mwisa mwana zamu nokukasira. Hwisisa nyaya iyi Please. 
Kana uchida mukomana iye asingazive kuti unomuda, ungazive sei kuti anokudaKana uchida mukomana iye asingazivi, kasira kuti azive nokuti kana iwe uchimuda zvoreva kuti kune vamwe vanomudawo saka umwe akakutangira iwe watoshaya mukomana. Kana uchiziva NUMBER yefoni yake, mutumire Message utsvake ushamwari. Mukatanga kutaudzana ndipo paunomuratidza kuti une rudo asi unofanira kumrira kusvika iye akukumbira kuti mudanane. Zvadaro iwe imbomuudza kuti unoda nguva yokunofunga.  Wozomuudza mamboita kanguva kuti unomuda.

Usarega mukomana waunoda achidiwa oumwe musikana. 
3 Kubuda ropa uine pamuvuri panemwedzi nehafu zvinoitiswa nei?



Kuenda kumwedzi une mimba kunokonzerwa nei?

Pakuita mimba pane mabasa akawanda chose anoitwa nomuviri wako. Mazuva ukutanga panezvinoitwa nguva imwe cheteyo zvinokwanisa kukanganisika.
Kuisa BALANCE yemaHORMONES anoshanda basa
Kubatanidza urume nezai
Kutanga kuumba mwana
Kunamatidzira chimwana kumadziro echibereko kuti tambho yokufidha igotanga kugadzigwa.
Kugadzira bumbu rinozogara mwana rizere nemvura
Kuvhara kuti ropa remwana risasangana neramai sezvo akasiyana.

Chibereko chinoumba mwana zvichibva neruzivo gwachakasikwa chinago panyaya yokuumba mwana. Pavhiki dzinoita nhanhatu chinokwanisa kuita MISTAKE asi chinobva chaziva kuti chaita MISTAKE chobva charega kuenderera mberi nokuti mwana angazozvagwa ane zvakaipa paari sokuti kuremara.

Pakurega kuenderera mberi apa iwe mai unobva unokwanisa kusvodza . Unoona wobuda ropa zvopera zvakadaro muviri wotanga kusuka chibereko kugadzirira kuti uite imwe mimba.

Kuramwa mwana uku pachirungu kunohi Spontaneous Abortion. Mimba dzakawandisa dzinobva dzega muridzi asati atomboziva kuti ane mimbaa kutesitwa wobatwa mimba, wozotesitwazve vhiki inouya usisina miba.  Pamwedzi miviri yokutanga panonetsa. Kwedu vakawanda havaudzi munhu kuti vane mimba kana ichiri kutanga. Haisi nyaya yokushungurudzika nayo nokuti muviri wako unoziva kuti wagona here kaa kwete kuumba mwana.

 Ini ndakaita kaviri mimba isingasviki mwedzi nehafu 6 weeks.

Kana mimba yasvika mwedzi mitatu ukaona ropa, kasira kundoonekwa.
Chii chinokonzera mvura muchitubu? Mvura inoita kana wava nezemo rokuda kuiswa nomurume. Hapana chakaipa kuita mvura. Kuita mvura chinhu chakanaka chose kana wava pakuisana nomurume nokuti zvinodzivirira kusvuuka mukati uye kusvuuka kwemurume.  Chakaipa kusaita mvura. Kana ukatadza kunyorova unotopedzisira watadza kuiswa nokuti zvinogwadza. 
Kubviswa humhandara neSkin to Skin kwakasiyanei nokubviswa ne Condom? Kana uri musi wako wekutanga kupinzwa chombo nomurume zvinoda kuhwisisa kuti zvinoitwa sei uye kuti uchahwa sei pazviri. Zviri nani chose kushandisa Kondhomu nokuti unokwanisa kubata zvigwere musi iwoyo. Kuisana, zvikuru kana mange musina kumboisana kunoita mupanane zvigwere zvakasiyana siyana zvichibva nokuti murue ane zvipi zvacho.

Uchabvarugwa chimuvharo uye panokwanisa kubuda ropa kureva kuti pane karonda kadikidiki kanokwanisa kupinda utachiona. Kondhomu rinodzivirira zvigwere.

Unokwanisazve kuita mima ipapo saka kondhomu rinodzivirira mimba.
Kana chivharo chako chakati korei, unokwanisa kugwadziwa zvishomanana sokuti wabaiwa netsono  pakubvaruka zvobva zvatopera otobatirira murume, worumira mazino motoisana. Pamwe unonakigwa musi wokutanga, pamwe hazvinaki kusvika wamboiswa kakati wandei.

Tanga averenga pahahi KANA WAFUNGA KUBVISWA HUMHANDARA 
6 Kana wakazvitakura mwana anotanga kutamba ane mwedzi mingani?Zvinobva nokuti mwana wechingani. Kana ari mwana wekutanga unononoka kuhwa achitamba. Kana wakamboita mwana unokwanisa kukasira. Saka vanhu vakasiyana asi zvinotanga kuitika pakati pevhiki dzinoti 13 kusvika pa 25. Ukazisvikawo 25 usina chahwahwa haa kashoma. 
7Mai Chibwe, ko sei musina kutiisirawo  mapicture evakadzi vasina kupfeka? Kana wava munhu akura zvokuda kugaroona mukadzi asina kupfeka, zvoreva kuti unofanira kuzvitsvakira musikana waunoti ndewako. Ndiye achazosvika pakukwanisa kukutaridza kuti munhukadzi asina kupfeka akaita sei.

Kana ukajaira kutarisa vakadzi vevamwe vanhu kana kuti vana vevamwe vanhu zvichakunetsa mberi nokuti jairiro iyoyo ndicho chimwe chezvikonzero zvinokonesa chombo kunatsomira kuvarume vakawanda chose.  Kana vichikwanisika pano ngapasaita nyaya dzechihure asi dzokuchengetana mumba zvakanaka. 
8Ko nhumbu inobata sei? Mimba inoita kana iwe wakandira zai uye panguva iyoyo ukapiwa urume nomurume wako, unokwanisa kuita mimba.

Verenga apo pakahi KANA WADA MIMBA
9Kubva patakaroorana, murume wangu anoti anoda Anal sex. Ini handisi kuda. ndoitawo sei? Inyaya inonetsa kugadzirisa mumba nokuti kune varume vanozvida koitawo vakadzi vanozvifarira asi kuti vanozvida vese vasangane vagoroorana zvinonetsa. Saka uciona kuti unozoziva mava kutogara mese.

Asi zviri nani kutaurirana nomurume wako mohwisisana kuti moyo wake uri papi. Kaachida zvaanoda iwe unokwanisa kuterera wozvifungira kubvua kana kuramba. Zvinobva nokuti unofunga sei.

Asi chamunofanira kuhwisisa ndechokuti kana mada kuzviita usarega achiti ambopinza kuashure ozopinza kuberi asina kumbogeza nokuti maBACTERIA akasiya zvokuti unokwanisa kuita INFECTIION. 
10 Matinji anokudzwa sei uye mukadzi anorohwa nayo rungani pausiku humwe chete?Tanga waverenga apo pakahi Kudhonza matinji. Wadao hwisisa kuti hazvina zera. Chero munhu akura anongokwanisa kudhonza. Asi hwisisa kuti chikonzero chaunoda kudhonzera ndechei nokuti hazvina chazvinobatsira uye hazvinei noumwe munhu kuzhe kwevarapi vachazokuona kana woda kuzvara. Zvibvunze wega kuti unodhonzerei.

Pnyaya yokuti kurohwa iyo. zviri kwamuri kuti munorovana kangani musi wega wega zvichibva nezera renyu. Kana muri pasi pe makore 30 munokwanisa kashanu pazuva, kaviri pazuva, kamwe chete pazuva zvichibva nokuti murume anokwanisa chii. Mukadzi haana LIMIT.  Zviri nani kubvunza mukadzi wako kuti anoda kangani pazuva uye nguvai. Vanhu takasiyana siyana. 
11Ko kuiswa nevarume vakawanda kwakaipei? Ndongonzwa vamwe vachiti kwakaipa. Kana watomboziva kuti kwakaipa watogona. Kwakaipira kuti unobata zvigwere zvechihure. Zviwe zvacho hazvirapiki saka unofa nazvo.

Kuita nyaya younhu. Kungogaroti ukaona murume wovhura makumbo hazvina unhu. Varume vacho vanongozokuona sechinhu chisina maturo.  Hapana zvazvinokubatsira.

Zviri nani kuva nomurume umwe chete anokuda pane kuita vakawanda vanongoda kuvata newe. 
12Murume wangu anonhuwa muviri wake chose asi anogeza zuva nezuva. Ndezvokuroiwa here? Aiwa bodo hapana uroi hunokwanisa kuti munhu anhuhwe muviri. Kunhuwa ganda kunoitiswa nemaBACTERIA anogara paganda rake. Haabviswi nokugeza. Pamwe anotofarira kugeza kwake. Zvokunhuwa ganda zviri kwese vakadzi nevarume asi kazhinji iye muridzi haakwanisi kuzvinhuwidza. Vamwe ndivo vanohwa kunhuwa kwake.  Saka chero iwewe unokwanisa kunge une munhuhwi wakaipa.  Umwe noumwe ane munhuhwi wake sake uchiona mapurisa achishandisa imwa kutsvaka munhu akapfuura napano nezuro.

Pane zvinhu zviviri zvinobvisa mabacteria zvinoti Vinegar ne VICKS.
Vinegar kunyororesa muviri nayo wombomira 30 minutes wozonogeza. zvoitwa kaviri paviki

Vicks kuizora semafuta womboita nguva mahawa akati kuti wozonogeza. zvoitwa nguva nenuva kana wafungira kuti une dambudziko asi VICKS inodziisa muviri uye geza maoko kana waishandisa nokuti ukabata maziso unoita rimwe dambudziko.

Verenga apa
MUNHU ANE MUNHUHWI wemuviri

13Ndingadzorawo kuzasi (mheche) sei. ndichangozvara? Verenga apo pakahi kusimbisa masuru. Kana waverenga chitobva watanga nyaya yokupota uchimira pakuweta. wozviita kusvika wachembera nokuti zvinobatsira kusazviwetera.

Kusimbisa 
14 Murume wangu ndofungira kuti ari kuhura. Smell ye perfume, plus vhudzi re wig pa jacket rake. Ini handipfeke wig. Ndoitawo sei. Ndinotya siki? Hapana zvakawanda zvaunokwanisa kuita. Kana murume achihura zvoreva kuti haana hanya newe. Chero ukabata chigwere anotokuti ndiwe wamupa chigwere.

Asi kana uchifunga kuti ane chigwere usavata naye. Ukasavata naye achawedzera kuhura futi ndosaka ndichiti hazvigadziriki.

Chero ukada kumbotaura naye uchakasira kuona kuti fungwa dzake hadzinei newe. Murume kana akatanga kuhura chikasira kuziva kuti haachakudi uye kazhinji agara asina kumbokuda iwe zvese nevana.

Asi pachirudzi chedu tinomboda hedu kuita nguva yokutambisa tichigarisana dare. asi outcome yacho ndiyoyo imwe chete. Ucharambwa, uchaita zvigwere. unokwanisa kufa.

Chihure hachina GOOD OUTCOMES. 
15Chii chinoitisa mapundu kumeso?

Chii chinopedza mapundu ekueso?

Mapundu kumeso anoitiswa nokudai. Paganda romunhu panogarobuda oiri inohi  SEBUM pachirungu. Oiri iyi kana watanga kumumudza mazamu sechihandara kana chijaya  (makore 11-14) inowandisa yodzivirira  ganda kufema zvakanaka wobva waita mapundu anohi Teenage acne. Asi unokwanisa kuita ACNE wava munhu mukuru. Vamwe vanoti zvinoitiswa nekugaroita zemo usina wekuripedza naye.
Unokwanisa kuderedza mapundu awa neizvi.
1 kana wageza kumezo mangwanani  cheka LEMON wozora muto waro kueso.

2 Kana usina LEMON zora TOOTHPASTE  pakunovata wovata wakadaro wogeza makuseni. 
16Mukadzi anogona kubva humhandara asina kubuda ropa here?Tanga nokuverenga apa pakahi UNOZIVA SEI KUTI IMHANDARA KANA JAYA. Wapedza hwisisa kuti kubuda ropa pakubva umhandara kakuitwi nemhandara dzese. Kune mhandara dzakawanda chose dzinobviswa humhandara pasina ropa rinobuda zvichibva nokuti chivharo chake chakkabatana kana kubvaruka zvakadii, uye kuti musikana akura vakadii nokuti ange achishandisei pakuenda kumwedzi.

Variko vakawanda vasingabudi ropa. 
17
Kuvhura mwana nzeve kunoitwa sei? 
Ndinovimba chose chose kuti hauna kuzama kuita chimwe chinhu pazheve dzerusvava. Please kana une chaunofungira kuti chiri muzheve dzake, tora mwana uende ku Clinic uvaudze zvakunetsa vaite vega ivo kana kuti vakutaridze zvokuita. Usazama kuita wega uye usadira mishonga yemuraini muzheve dzamwana wako kuzhe kwekuti usingadi mwana zvachose zvokuti hauna hanya nokuti akashaya zheve. 
18 Zvinoita here Murume kudyisa mukadzi kuti awedzere kumuda? Zvinoita chose chose. Mushonga wekuti mukadzi wako akude nomuyo wake wese ndewekutanga kumuda nomoyo wese uye kumuudza kuti unomuda uye kana achitaura zvaanotaura terera

Garogumbatira mukadzi wako zvikuru kana musina kupfeka pakunovata, uchipota uchimuzevezera zvinosetsa muzheve dzake, kana asina kuseka wombomusekenyadza.

Pakunoisana muudze kuti zviri kukunetsa kerega kuisana naye nokuti pese paunomuona unohwa kuda kuisana naye. Ita nguva uchimubatabata muviri wese. Kaviri pavhiki svitsa rurimi pabhinzi yake wmbomukwesha norurimi, ombochemachema aziti rukutu iwe chimubidigura avate bedumbu. Isa pillow pasi pechiuno chino chisimudzirike. Chimboita nguva uchimenya magaro nemawoko uchimunyemudza chombo. Wozoita chirango asi wogaramo kupfuura 7 minutes.

Ukadaro hakuna mushonga waunoda wekudyisa mukadzi wako, uye anokupa rukudzo kupfuura vakawanda. 
19Unganyepedzere seyi kutunda kumurume wakoKuti zvigokubatsirei? Kana usina kutunda nhasi ukati watunda zvoreva kuti mangwana murume achafunga kuti zvaari kuita zvinoenderana nokutunda obva atoshaya hanya nokutsvaka zvimwe zvaangaita. Murume ngaazive kuti hauna kutunda kazhinji iri ngari yokuti akukasirira. Saka mangwana ngaawedzere nguva. 
20Kutunda masperm akaita mvura zvinoreveiChokutanga hwisisa kuti murume anobudisa urume kwete maSPERM. urume pachirungu hunohi SEMEN.  MaSPERM imhodzi dziri muurume.  Mhodzi idzi dzakawanda chose chose zvokuti dzinopfuura pa 15 million paCUBIC CENTIMETRE  pamurume anozvarisa. Kuwanda kwemhodzi idzi hakunei nokuti urume hwakakora here kana kuti hwakaita mvura. Zviri nani hune mvura nokuti mhodzi dzinodhidha zvine sipidhi iri mberi.

Chinoitisa kuti urume hunge hwune mvura uye kuwanda murume anomwa mvura yakakwana pazuva rimwe nerimwe. Kumwa mvura kunobatsira kuti mhodzi shoma dzinge dzakaremara.
Verenga pakahi Kuremara kweurume 

21Chikapa chengwena chinoitwa seiNgwena hadziiti chikapa. Dzinongoitana zvokuti hadzi inobatwa nohono zvokuti isakwanisa kutiza, Hono yobva yaruramisa kusvika yakwanisa kupinza chombo muhadzi. Hadzi ninongosimudzira muswe zvotoitika zvakadaro. Hapana chikapa chingahi chiripo.

Ko wadireiko kuhwisisa nezvengwena? Une purazi rine mvura zhinji zvokukwanisa kuita ngwena here?  
22Ko murume akasabudisa hurume hwake muri pabonde zvinorevei? Zvinoreva kuti
1 Haana kuswera achimwa mvura
2 Ambohura noumwe mukadzi nhasi
3 Ambozvirhoja maoko nhansi
4 Haana hanya nokubudisa urume nhasi
5 Pamwe unofunga kuti haana asi iye abudisa ushomanana

Kana zvazoramba zvichiitika wondinyorera totaura nyaya yacho. 
23Chii chinozi kurova chikapa? Chikapa kukoira kwemunhukadzi achiisana nomurume wake. Kushandisa chiuno kugamuchira chombo chomurume, kuratidza murume kuti zviri kumunakira.

Zvokuzoti KUROVA hameno kuti kuitawo sei uye kuti unenge wava kurova nei, zvaita sei? Wazvihwirepi? 
24Ko kana murume achinyara kuudza mukadzi kuti anoda kumukwira zvoitwa sei? Zvoreva kuti mukadzi wacho haasi wako saka haufaniri kunge uchitsvaka kuvata naye. Kana mukadzi ari wako kuvatana hakunei kuti audza umwe ndiani. Ubasa romukadzi kukwezva murume wake. Mukadzi ndiye MANAGER wezvomumba zvese. Kana akamirira kuudzwa nomurume zvoreva kuti haasi munhu ane tsika. Mukadzi anoswedera pedo nomurume wake ozvipa kumurume kusvika amisa chombo chomurume, murume ochitsvaka kuvata naye. Kwete konovata kure nomurume kumirira kuudzwa kuti uya tiisane. Kushaya unhu ikoko. Ukadaro unohurigwa nomurume kukaita mwedzi usingatozivi kuti chii chiri kuitika. 
25 Chii chinokonzera bundu muzamu?Kana waita bundu mumazamu, zvisiri zvokuti inguva yomwedzi, unofanira kukasira chose chose kunoonekwa na DOCTOR zvanhasi kwete mangwana.
Kana usina mari kwereta. Usatambisa nguva neGOVERNMENT hospital kana uri muZimbabwe kana South Africa. Enda kwa PRIVATE. 
26Huroyi hunkwanisa  kupera kana kubva here?Hwisisa kuti uroyi maitire emunhu kwete kuti chinhu chaanacho. Kana ukaona kuti munhu uyu muroi, kureva kuti anoita zvoutsinye kune vamwe vanhu, ukakwanisa kumutsiura anokwanisa kupera uroi hwake.

Hakuna munhu anoita zviya zvinohi kufamba usiku asina kupfeka kana kutasva bere usiku kana kutumira munhu nyoka kana zizi.  Dzinongori nyaya dzevanhu vadakwa nedoro kana kuti vanoda kutyisidzira vana kuti vasafamba usiku.
Dai kune uroi dane vanhu vakaipa vakaita saana Mugabe vakaroiwa kare. 
27Chikwambo chinobvisa  umhandara here?Chikwambo chinhu chinotengeswa nevanhu vakachenjera kuvanhu vasina njere zvachose. Hachionekwi masikati kureva kuti hachipo. Hazviiti kuti chikwambo chibvise musikana huhandara. Asi kana wafunga kuudza mukomana wako mutsva nhema panyaya yokuti sei usiri mhandara, kana ari munhu akapusa unokwanisa kumuudza kuti wakabviswa nechikwambo cha baba Chari. Kana ari mupositori kana kuti munhu akazvarigwa panzvimbo yeMINE kana mamwe mapurazi, anobva atobvuma nhema dzako.

Chikwambo hakuna zvachose. Inyaya dzedoro uye makamirira bhazi kumamisha. 
28 Kuvhura murume magaro achitunda urume zvinobatsirei? Kana muri pakuisana murume akatanga kukupa urume kana kuti ukahwa kuti ava pedo, toti ari pamusoro iwe uri pasi wakavhura makumbo, wega unongohwa kuti munhu haachisina CONTROL zvunhu zvava kutouya. Pana zvaunokwanisa kuita kuti awedzere kunakigwa uye anatse kukupa urume hwese haanahwo panguva iyoyo.

1 Kumuvhura magaro woisa chigumwe pakati woti pese paanoomesa magaro nokuda kwekutunda iwe wochinja POSITION yechigumwe.
2 Vamwe vanoti unokwanisa kupinza kugumwe zvishomanana  kana Centimita imwe chete, kuchisuri chake achitunda. Kwahi zvinomuita abudise hwese urume hwaanahwo ipapo. Kana kuzomuka usiku haamuki.

3 Kupurudzira panoperera kupatsana kwemagaro pachitangira musana. Unovhura ruoko wopurudzira uchiita sokudhirowa CIRCLE ipapo wakati tsimbirire zvishoma.

Saka Zvinoita sokuti pachiuno chemurume pane zviripo. Panoungana TENSION kana oda kutunda. Iwe maitire ako chiita uchiziva zvinodiwa nomurume wako. Vamwe varume vanovhunduka kana vapinzwa chigumwe asi ukazviita otanga kutunda hapana zvaanokwanisa kuita pazviri kusvika apedza kutunda. Iwewo unenga watobvisa chigumwe nyaya yatopera.

Kupiwa urume hwakawanda kunofadza nokuti zvinotaridza kuti wange uchinakira murume. Mapedza isa murume wako pazamu abatwe nehope makagumbatirana.

29 Zvinoita here kuendesa hure remurume kumwedzi? Kana une murume anohura iwe uchiziva kuti anohura asi uchingogara naye chete zvakadaro, zvoreva kuti iwe ndiwe usingahwisisi zvauri kuita nokuti pachaita nguva yauchabata zvigwere ugokwanisa kufa nazvo.

Murume wako kana achihura usafunga kuti anohura nomunhu umwe chete. Vanhu vanohura vese varume nevakadzi vanohura nevanhu vakawanda.

Hazviiti kuti ukonzerese umwe munhu kuenda kumwedzi. Kana ukawana munhu anozvikwanisa, kasira kundinyorera tigokugadzirisa uite MILLIONNAIRE gore risina kupera.  Shungu ndidzo dzinokufungisa izvozvo asi hazvikwanisiki. Uyezve kuti hure riri kumwedzi hazvikonzeri kuti murume asahura naro. Vakawanda havachina tsika yokurega kuvatana kana mukadzi ari kumwedzi. 
30Murume wangu ava nevhiki yese asina kundis**a asi nezuro ndakamuwanikidza achichaya bo**ora. Ndagumbuka chose.  Ndoitawo sei? Varume vakawandisa nevakadzi vakawandisa kuvatana kwavo nevakadzi/varume vavo hakunei nokuzvibatabata kwavo. Manakire azvo akasiyana sezvaunoziva iwe. Saka kazhinji murume/mukadzi anoti uku ari kuvata noumwe wake uku ari kuzvinakira ega. Hapana chakaipa ipapo saka usaona sokuti ari kukumhura.

Pamwe ane chigwere chaasingadi kuti ubate. Pamwe akatsamwa pane zvawakaita zvaasingafariri. Pamwe mune nyaya dzamusina kugadzirisa. Tanga nokuongorora chikonzero chaitisa asada kuvata newe. Iyo nyaya yokuti ari kuitei kana ari ega, siyana nayo nokuti hainei nezviri kuitika. Usarambidza murume wako kuzvinakira ega, iyewo ngaasakurambidza kuzvinakira wega. 
31Kuzvara kunorwadza zvakadii? Ko sei munhukadzi achiita vana vakawanda? Kuzvara kunogwadza zvaksiyana zvichibva nokuti iwe nyamimba iri munhu akaita sei uye kuti imimba yechingangi. Mimba yokutanga inogwadza nokuti hauna EXPERIENCE uye inokwanisa kutira nguva pakuzvara. Asi zvinogwadza nokuda kwekuti musoro wemwana unofanira kukwana pakubuda.

Kana ukazvara, uchada mwana wako chose zvokuti unokangamwa kuti zvinogwadza. Kukangopera mwedzi miviri wotodazve kuvata nomurume wako, ipapo uchitoziva kuti zvinoitisa mimba futi asi unenge usina basa nazvo. 
32 Ndodawo mazamu makuru. ndine madikidiki. Ndoita sei? Kukura kwenhego dzemuviri hakusi kwekukambhira. kunongoita zvakwada kuita. Kune nhengo dzemuviri dzisingakwanisi kukudzwa. Mazamu haakuriswi nezvatinioita.

Unokwanisa kunoitwa operationasi zvhakuitisa matambudziko akawanda. Usachiva zviri pane umwe munhu nokuti nhamo dzake haudzizivi. Hapana chinobatsira mazamu makuru.

Asi ukazoita mimba ukazvara mwana mazamu anowedzera kukura kuzvika warumura. 
33 Murume wangu haatundi pabonde. Zviri normal here izvi? Kubva 2013 ndinaye. Tine vana vaviri but hapana chandati ndaonawo kuti atunda. Pane mushonga here wandingamupa.? Dai asingatundi dai musina vana. Kuita mimba zvoreva kuti mueume ari kukupa urume. Hakuna munhu anoita mimba pasina urume. Saka usazvinetsa nokuti hapana chauri kuona.

Kana murume akatunda urume hwakawanda, humwe hunozovhinza mapedza. Kana huri hushoma hapana chinovhinza. Saka kana usingaone uchivhinza. Zvoreva kuti ari kutunda asi ushoma. Urume (SEMEN) ushoma asi mhodzi (SPERM) dzakawanda zvakangofanana.  Saka usanetseka nazvo. Nakigwa nomurume wako chete chete.  
34Ndingakisa sei mukomana wangu iri nguva yekutanga ndisingatozive kukisa kwacho kuti kunoitwa sei? Kana muchida kukisana kisanai henyu asi hwisisai kuti zvinoitisa zemo uye kana maita zemo munokwanisa kupedzisira mavatana iwe ukazoita mimba. Apa handisi kuti usakisana nomukomana wako, asi kuti ita uchihwisisa zvazvinoreva. Kukisana kunonana uye kunofadza muviri.

Makisire amunoita akasiyana siyana. Hapana chingahi chakaipa kana kuti chakanaka. Zvese zvamunoita kunaka kwazvo kuri kwamuri. Maitire ari kwamuri. Asi chikuru kana wafunga kukisana noumwe mumnhu  chiita wakasununguka uchitaridza kuti ndiwe wazvisarudzira kukisana naye. Wotobatirirawo zvinotaridza rudo. Wotanga nokukisa zvinyoronyoro kusvika mese maone kuri kuenda nyaya, wozowedzera puresha uye kuvhurirawo muromo kuti musvitsane rurimi. 
35Pabonde kana murume achitanga kutunda mukadzi asati atunda anoita pamuviri here?Kutunda kwemukadzi hakunei nokuita mimba kwake. Mhomho yevakadzi vechidiki havatombotundo pakuisana nevarume vavo. Kunotozoti vati kurei vajaira kuisana ndipo vanotunda vanowanda.

Kuita mimba kunongoda murume atundire urume mukati memukadzi chete chete. Kana mukadzi akangopiwa urume nguva yake yokumwedzi ichienderana nokukandira zai, anoita mimba.

36Mishonga yechivanhu inokudza mboro nekumutsa inonziiHakuna mushonga wechivanhu kana werumwe rudzi unokwanisa kushandiswa kukudza  chombo chomurume. Hapana chakanaka pakukudza chombo. Chombo chinongokura kusvika pachadira. Hazvinei nokuti baba vako vane chakakura sei kana kuti dzimwe hama dzako dzakadii. Unokwanisa kunotenga mishonga asi hapana mushonga unoshanda.

Mishonga yokumisa chombo iriko yakawanda asi ukajaira kumisa chombo nemushonga zvoreva kuti hachichazomiri pasina mushonga.

Zviri nani kurega chombo chichingomira pachadira. Kana uchinetseka kumira chombo zvoreva kuti pane chikonzero. Enda unotariswa nevarapi. 
37Chii chinoratidza kuti munhu wandiri kudanana naye  munhu anganzi mutendi?Mutendi munhu ane chitenderi kureva kuti anobvuma kuti chinhu chokutanga Mwari variko uye vane zvavanoita noupenyu hwevanhu.

Chechipiri anotenda kuti iye anofanira kuratidza vamwe kuti munhu ano chitenderi, saka anoenda kuimba yokunamatira, uye anotevera zvakanyogwa muBhuku rinotaura nezvechitenderi chake. Iwewo kana uchida kuroorana nomutendi, unofanira kugara naye pasi mobvumirana kuti kuva mutendi kunoratidzwa sei.

Pane zviito zvinoratidza kuti munhu haasi mutendi. Kuba, kureva nhema, kushora vabereki, kuda kuvata nomunhu asiri mukadzi/murume wako, kusakudza vamwe vanhu, kushaya unhu, etc. Izvi hazvinetsi kuona.

Bhaibheri harubvumidzi kuroorana nomunhu asingatendi kana iwe uri mutendi. Kana wada murume/mukadzi, Kumbira ishe vakutaridze wavakakusarudzira. Iyewo achataridzwa iwe. Usatanga wadanana nomunhu wozoti Mwari vakubvumidze kuroorana naye. Bodo. 
38Nhengo yemurume inoreba kusvika papi?Varume vakasiyana siyana sezvatakangoitawo isu. Asi kureba kwechombo chomurume kuri pakati pe 12cm kusvika pa 18 cm kana chimire. Kukora 9 cm kusvika pa 15 cm. Varume vanohi ngochani AVERAGE yekukura kwechombo chavo yakapfuura yevasiri.
Varume vekuCongo vane zvombo zvakakura kupfuura vekune dzimwe nyika. Kukurisa kwechombo kuremara zvokuti pamwe murume haazvarisi. Kukura kwechombo hakunei nokunakigwa kwemunhukadzi asi zvinongopa murume wacho CONFIDENCE.  
39Kuvhura makumbo uri pabonde nemurume zvinobatsirei?Kuti murume akwanise kupinza chombo zvisinei kuti muri kuisana maitire api, unofanira kutovhura makumbo. Saka ngatingoti zvinobatsira kuti murume akwanise kukupinza chombo. Maitire mashoma chose asinei nokuti uvhure makumbo. 
40Mushonga wekuvhura nzira yemwana ndingamuwana kupi? Kuti mwana azvagwe hazvinei nemishonga asi kungoti zvinozikamwa kuti vanhukadzi vanowanza kuiswa vane mimba vanoita nyore pakuzvara. Saka tingangoti mushonga wekuvhura zhira kujaira kuvata nomurume wako kana une mimba, kusvika yava pedo pedo nokuzvara.

Hakuna umwe mushonga. Kuzvara kunoitiswa ne ma HORMONES saka hazvinei nokudya kana kumwa mushonga. Kuiswa kunoita mahormones awadzere. 
41Kutizirwa nomusikana chihure here? Ngatitange nokubvunza kuti kuhura kuita sei? Mhinduro yoti kuhura kuvatana nomunhu asiri murume/mukadzi wako. Pamutemo weChivanhu tinoti kana mombe yumai isina kubviswa haubvumidzwi kuvatana nomukomana/musikana wako. Iri ngari yokuti mhuri dzenyu hadzizivani uye havazivi kuti munodanana zvokuda kuroorana. Saka menge muchihura.

Musikana akazobata mimba kana kufungira kuti abata mimba, anotanga abvunza mukomana kuti toita sei. Mukomana anenga asina zvaati afunga nokuti hamuna kuwirirana kuita mimba, iwe musikana wagozvifungira wega kuti regai ndiite mimba, kureva kuti njere chaidzo hauna. Mukore uno kana wada zvokuvata nomukomana wako, chokutanga kudzivirira mimba nezvigwere.

Mukomana ati haasi kuda mimba yako ndipo paunofunga kumufumura nokumutizira. Asi kana wasvika kumusha kwake vabereki vake vakakugamuchira zvoreva kuti pakunovata munopiwa imba imwe chete. Kuvatana kwenyu kubva ipapo kwava kuzikamwa asi zvonetsa kuti tigiti hachisi chihure nokuti vabereki vako havazivi. Ukafa, havigwi kumurume uyu nokuti haasi wako. Saka chinongori chihure kusvika mombe youmai yaenda. 
42Tipeiwo mazita emishonga yokusuka musana. Hakuna chigwere chinohi kusuka musana. Kusuka chibereko (uterus/womb) hakukwanisiki kuitwa kumba, kunongoitwa kuchipatara saka iwe haufaniri kuita zvokutsvaka mishonga yacho. Mubvunzo wako hauhwisisiki nokuti hakuna zvakadaro zvinoitika pavanhu. Ask kana uri munhu uya anongotevedzera mishonga yenhema inopiwa nevanhu vanoda mari yako. Asi umwe msi uchafa nazvo.

Ndnyorere pakero inoti maichibwe@yahoo.co.uk kana une chiri kukunetsa pamoyo. Chibereko chinosukwa kana wasvodza kana kubvisa mimba kana kuita anohi ma FABROIDS. Pasina izvi chibereko chinozvigeza chega pasina hosipitari. Usapinza chinhu kuchibereko nokuti unokwanisa kufa. 
43Ndikapindirwa nemuroyi usiku ndingaita sei kuti ndirarame? Ukaona wapindigwa mumba noumwe munhu, kasira kusimuka utsvake chokurovesa munhu iyeye nacho. Munhu uyu imbavha kana kuti mhondi kana kuti munhu anobata chibharo. Haasi muroi. Hakuna muroi anokupindira mumba mako achida kukuroya.

nyaya dzavaroi dzinongova nyaya dzinoudzwa pwere. Hakuna munhu anohi muroi anokuvinga mumba mako. Usazvinetsa nenyaya dzakadai. 
44Kusura nokuzasi pakuvatana kunoitiswa nei? Inyaya inoitika kuvanhu vakawanda chose asi inoda kuti uiwhisise kuti zvisakunetsa kana zvaitika kwauri. Usarega zvichikanganisa kunakigwa kwako nomurume wako. Murume ndiye anokonzera nyaya iyi.

Verenga apo
https://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kubudisa-mweya-uchirhojewa.html

45 Mwana akaita mhepo mudumbu ndoita sei? Vana vese vanonetseka nemhepo mudumbu nengari yokuti vanomwa mukaka. Mukaka unoitisa mhepo. Kana usingazivi kuti mwana anobatsigwa sei kana ane mhepo mudumbu, unofanira kuenda kumunhu mukuru mumhuri yenyu kana kuti muraini renyu wonotaridzwa zvokuita. Unokwanisazve kuenda kuCHEMIST kunotenga mushonga. 
46Mhandara inobviswa sei umhandara? Kana uri mhandara, tanga wafunga kuti chauri kudira kubviswa humhandara chii? Varume vanoda chose kukubvisa humhandara asi kana usisina humhandara, varume havachakudi. Unopiwa mazita akawanda akaipa.

Bviswa humhandara nomurume akubvisira mombe yeumai.

Verenga apa
https://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/04/blog-post.html

47Maichibwe, zvinoita here kubata chombo chomurume? Ndinotya kuchibata. Mese muri vaviri munofanira kudzidza kubatana pamberi. Murume obata pamberi pako okukwenya, okukwizirira, okupinza chigumwe mukati otamba nematinji ako, otamba nebhinzi yako. Iwe womuratidza zvaunofarira kuti agare achiita. Kana ada anokusveta bhinzi yako zvinova zvinonaka kupfuura kupinzwa chombo nokure.

Iwewo wotamba nechombo chake, wochipurudzira, wochirezva, kana wada wochinanzva kana kuchisveta zvinova zvinonakira murume wako chose chose.
Hapana chinotyisa pachombo asi kuti murume wako anofanira kugeza musati matanga kurezvana, Pakugeza anofunyungura ganda ogeza musoro wechombo.

Iwewo geza pamberi nesipo woona kuti chakafukidzira bhinzi chabhenengugwa nokugezwa . Usaisa mvura kana sipo kana chimwe chinhu mukati mechitubu. Chombo, chigumwe kana Tampon chete ndizvo zvinopinda muchitubu. Usaudzwa nhema navanhu vasina njere kuti isa ichi kana icho, Bodo. 
48Kuisana mukadzi akafongora zvinobatsirei? Zvinobatsira kuti manakire acho kwamuri mese akasiyana nokunaka kwemamwe maitire. Saka iwe murume mese nomukadzi wako potai muchisiyanisa maitire, nguva uye nzwimbo dzokuitra. Ndiko kuti muhwisise kuti zvinonaka zvakasiyana siyana.

49Kunyengana kuita sei? Mukomana akaona musikana waanochiva, anotsvaka mukana wekusvitsa shoko kumusikana kuti anomuda. panokwanisa kuita nguva musikana achiongorora kuti mukomana anomuda zvechokwadi here. Uku mukomanawo anenge achiedza kuratidza kuti anoda musikana. Kana nusikana akazoona kuti anodiwa anokwanisa kubvuma kudanana nomukomana.  Zvadaro kunyengana kwapera vaviri ava vava kutodanana.

Saka toti kunyengana kuonesana kuti zvinoita here kuti mudanane. Inguva inotanga panoendesa mukomana shoko kumusikana, ichizopera panoti musikana abvuma kudanana nomukomana. Kunyengana mashoko okukwezva musikana kuti akude kana uri mukomana. Asi kazhinji iye musikana ndiye ari kutokukwezva iwe usingahwisisi zviri kuitika. Anokuratidza kuti pane zvaari kukufungira asi iwe ndiwe unofanira kutanga kutaura nezverudo. 
50Murume wangu ane makore 42, Ini makore 26. Handisi kuguta pabonde. pane zvokudya zvandingamupa here kuti awedzere kuda? Makore 46 haanei nokuda kana kusada. Zviri mufungwa dzake chete. Achiri munhu wezera diki zvokuti anokwanisa kamwe kana kaviri pazuva rimwe nerimwe. Kana achingodya chikafu chine BALANCE chete ndizvo zvinodiwa. Nyaya dzokurongera munhu idzi handidzo nokuti kana watanga kudaro zvoreva kuti wotozongodaro. Muchine makore akawanda chose muchingoisana. Varume vanosvika kumakore 80 kana kupfuura asi zvinoda kujaidza murume kuwanza nokuti zvinoderedza PROSTATE CANCER,  uye kuzviwetera. Murume anogaroisana nomukadzi wake haawanzi azviwetera kana azova muchembere.

Udza murume wako kuti uri kuda kuwedzera kuiswa. Zvinonetsa varume kusaisana nomukadzi anoda kuiswa. 


Friday 29 December 2017

Nyaya yokuzviuraya

Toda kuboongorora nyaya yemunhu anopedzisira azviuraya kuti yakanakira ani uye yakaipira ani. Ndaita nyaya yeshamwari akazama kuzviuraya, ndikamuwanikidza atogadzirira zvese, Changa changosara kuti achipedzisa basa raange atanga. Ndoda kumbotaura nyaya iyi nokuti chikonzero chikuru pakuzviuraya kwevanhu zviito zvemunhu wawakaroorana naye. Saka vanhu vakawanda vanotisiya nengari yezviito zvevadikanwi vavo.

Zvinofamba sei? Tichaenderera mberi nenyaya.

Kana une hama kana shamwari yakazviuraya, tipewo BRIEF yayo kuti zvakafamba sei.

Thursday 28 December 2017

Chokwadi paupenyu hwevanhu

Pano ndoda kumbotaura nezvinoitika mudzimba kuvanhu vakaroorana zvinokanganisa upenyu hwavo asi zvichikwanisa kuti zvive zvinhu zvinokasira kugadzirika kana waona kuti pane damudziko.

Kunyimana mumba
Kana uchida kuti murume/mukadzi wako atange kuhura, tanga tsika yokumuramira pakuisana kwenyu. Hazviiti kuti unyime murume/mukadzi agoita nguva refu asina kuhura kana kufunga kuti owana sei mukana wekuhura. Chihure chakawanda mudzimba chinoitiswa nouyo asingahuri nokuda kwekunyima uyo anozohura. Zvese kumurume nomukadzi kunyimwa kunoshungurudza kusvika pakutadza kuvata, kutadza kudya, kutadza kuwana rudo pamunhu ari kukunyima. Kana mukadzi/murume wako akahura, chokutanga unofanira kuzvivunza kuti ndini ndakonzera kuti ahure here?

Tinoziva kuti pavarume vanohura, vakawanda vavo vanongohura pasina chikonzero, asi pane vanohurawo nokuda kwekuti vari kunyimwa kumba.

Kunyimwa kunokonzeresa mukadzi kuhura asi variko vadzi vashoma pavakadzi vanozikamwa kuti vanohura, vanohura zvisina chikonzero chomumba.

Chinoitisa kuti munhu anonyimwa afunge kuhura inyaya yokuti kuisana kunoitwa nevanhu vane moyo iri pamwe chete. Kunoita kuti uhwe kudiwa noumwe munhu zvoreva kuti uri munhu ane VALUE. Kana ukanyimwa zvoreva kuti munhu waunoda ari kuona sokuti hauchina VALUE kwaari.

Zviri nyore kuona kuti umwe wako ane mufaro here kana kuti haana. Ibasa romukadzi muma kuona kuti mese muri kugaroisana. Mukadzi haafaniri kumurira kuti murume asvike pakukumbira. Kana murume wako akakukumbira chero kamwe chete, hwisisa kuti hausi kuita basa rako zvakakwana. Kuti munoisana kangani zvinobva nokuti anonyanyoda kuisana anoda kangani, hazvina basa kuti murume here kana kuti mukadzi.  

Munyika dzese dzenogara vanhu, zvinozikamwa kuti kana usingavati noumwe wako zvakakwana, pachawanikwa umwe munhu anokuwedzerera. Zviri kwauri iwe kuti unodei.


Kusabatsirana mabasa
Mabasa emumba akawanda uye haaperi. Anonetesa munhu aswera achimaita. Zviri nani kuti murume paanokwanisa kubatsira abatsire. Tinoona vanhu vanofunga kuti murume anobatsira mumba murume akadyiswa, asi tinoonazve kuti murume anobatsira mumba murume ane rudo mumba make.

Kana ukasabatsira mukadzi wako pamabasa emumba, zvoreva kuti iye ari kuita mabasa ake saka hamuna nguva yokutama mese. Paanozoti aneta ava kuda kunovata, achada kukasira kunovata iwe uchiri kuda zvokuona TV. Pasina nguva mava kusiyana nguva yokunovata, nhamo yenyu yatotanga. Kana ukasagadzirisa nyaya iyi, nguva ichipo, muma menyu matova nomuti une mudzi wakaipa. Pachaita dzimwe nyaya dzinobva ipapa dzakawanda dzinoputsa musha asi dzese dziri dikidiki.

Kana tichiri kudanana tisati taroorana, zvinoita sokuti tine rudo chose pakati pedu. Unoti mukomana wako akakuperekedza kumba kwako zuva rodoka, mosvika kwako, mombotaura nyaya dzisina mature. Pedzezvo iwe womuperekedza kwake, mosvikako moita nyaya, iye okuperekedza kwako. Modaro kusvika kwasviba, ipapo mai vako vakamirira kuti utange kuvabatsira kubika.

Wapedza kudya unopinda muBEDROOM mako wofonera mukomana wako moita nyaya dzisina mature. Kana wavata unorota mukomana wako iyewo anokurota. Zvese zvinoreva kuti muri kudanana nomoyo wese. Asi kana mazoroorana hakuperi gore muchidanana saizvozvo. Asizve mese munohwisisa kuti panguva yamaidanana norudo rukuru, mese maiva nomufaro wakadzika. Mange musingadi kusiyana. Ko kana mava mumba menyu sei muchiti uyu kwake nemabasa ake, uyu kwakewo nemabasa ake?  Chii chinogozha pakuita mabasa enyu pamwe chete muchiita nyaya dzenyu dzisina mature dzamaichiita muchiperekedzana.


Kurega hama dzichitonga musha wako
Kana waroora zvoreva kuti wava murume mukuru anokwanisa kuronga mhuri yake nomukadzi wake. Hapana chakaipa kutsvaka mazano kubva kuhama neshamwari asi kana wawana mazano, enda kumba undotaurirana nomukadzi wako muronge zvokuita nomusha wenyu. Kune varume/vakadzi vasingakwanisi kuvaka musha pachavo.
1 Imwe misha ine mukadzi anovaka murume asingavaki.
2 Imwe mishe ine murume anovaka mukadzi asingavaki
3 Imwe misha ine mukadzi nomurume vanovaka
4 Imwewo mishe ine mukadzi nomurume vasingavaki.

Imi pamusha penyu hwisisai kuti anovaka ndeupi pakati penyu mobva mateverera iyeye. Iwe mukadzi ukahwisisa kuti murume wako zvokuvaka musha haazvigoni, usatanga tsika yokumuitira mabasa okuvaka asi kuti unomukurudzira kuvaka iye ozoita mazano awamupa asi ariye murume mumba. Kuhwisisa kupfuura murume wako chikomborero asi iwe usadzikisa chinzvimbo chomurume pazviri.

Pese pese hama dzinouya kuzotonga vana kuti vaita zvinodiwa nehama. Vabereki venyu mese vanozama kuti muite zvavakafoira kuita ivo. Imi itai zvenyu mufambe nzira yenyu asi muchiwana mazano kubva kune vakuru mumhuri dzenyu.
Pane nyaya dzakawanda dzinotongwa nehama mumusha usiri wavo. Chokutanga ndechokuti munoita mana riini? Imi rongai mega kuti munoda kuita mwana riini. Kune vaya vanti itai mwana, vanodaro kuitira kuti mukadzi aite SECURITY. Imi kana muchiziva kuti munodanana uye SECURITY yenyu hainei nokuti pane mwana here kana kuti hapana, musaita hanya nazvo. Rambai muri pa PLAN yenyu. Hwisisai kuti kune dzimwe hama dzinoti dzikahwa kuti mukadzi ari kumwa mapiritsi emimba, panobuda mashoko akawanda akaipa chose zvokuti munoshungurudzwa nazvo.

Kana mwana azozvagwa, kune hama dzinoda kuuya kuzokuudzai nezvemishonga inodiwa pamwana wenyu. Imi ipapo mabva kuCLINIC kwamapiwa CARD rakanyogwa zvese zvinodiwa pamwana. Unotoona hama yosvika pama penyu yada kutosiya yaita zvese zvainoda kuti zviitwe pamwana wenyu asi ipapo hamuna kukoka munhu. Kana muchida kuramba kuita zvinodiwa nehama, ingotaurai kuti makapiwa mushonga wemwana kuCLINIC mukaudzwa kuti musavhenganisa neimwe mishonga kusvika mwana apedza mushonga waari kumwa. Musatsoropodza munhu auya achida kuatsira. Mufungwa dzake mwana anofanira kuitwa ichi neicho. Taurai nehama yenyu zvakanaka adzokere kwake achiziva kuti munhu anopiwa rukudzo asi pasina zvaaita pamwana wenyu.

Hwisisazve kuti kana iri hama yemukadzi mukadzi ndiye anotaura nayo. Kna iri hama yomurume, murume ndiye anotaura nayo. Usamhurisa umwe wako panyaya idzi.

Pane dzimwe nyaya dzakawandisa dzinodiwa chose nehama. Unongoona hama yauya kuzobvunza kuti vahwisise kuti muri kuronga sei kuti vagokutungamirirai. Hapana chakaipa asi kuti imi munofanira kuita sezvamaronga muri vaviri.

Kushaya mari yezvaunoda
Kushaikwa kwemari chinhu chinokasira kupokanisa vanhu vasina BOND yakasimba pakati pavo. Nyaya yemari inokasira kukutaridzai kuti muri papi parudo gwenyu. Kana mari isingakwani pane zvamunoda kutenga mwedzi umwe noumwe, munokasira kusiyana mafungire pane zvokushandisa mari shoma yamunayo iyoyo.  Sokuona kwangu kana mari iri shoma munofanira kugara pasi mese moita BUDGET yemusha wenyu. Mese murume nomukadzi munofanira kuita POCKET MONEY zvisinei kuti ishoma zvakadi. Chero 10USD pamwedzi inongonzi ndeyemukadzi/murume kuita zvaanoda nayo.

Imwe yese mogara pasi moronga mese zvokuita nayo. Mari yokubhadhara imba, magetsi, mvura, bhazi, zvokudya, etc. Kana pane yasara monyora mubhuku remari yenyu, mosungirira pamunoziva mese moviga. Mumusha umwe noumwe unoda mai vemusha vanohwisisa BUDGET. Kana mari yamunosungirira iya yawanda, munokwanisa kupokanazve panyaya yokuti moita sei nayo. Sokuona kwangu hamufaniri kushandisa mari iyoyo.
Kana mari iri shoma muma, musaisa mari muBANK muZimbabwe nokuti inoperera pama BANK CHARGES. Kugarosungirira mari iDISCIPLINE inofanira kudzidzwa pamusha.

Kare maikwanisa kutenga sefa dikidiki iningokwana zvimari zvenyu izvozvo. Mazuvano sefa dzava kudhura asi munokwanisa kugadzirisa bhokosi rine kiyi kuvanhu vaya vanoita mabasa ekuweredha.

Mukadzi ane DISCIPLINE yokukwanisa kuchengeta mari mwedzi umwe noumwe zvisinei kuti mumba mari ishoma, uyezve achizokwanisa kusashandisa mari yaachengeta, mukadzi anofanira kukudzwa chose nomurume wake. Mari shomanana yamunosungirira iyoyo inokubatsira pane zvinhu zvakaita sezvipfeko vemhuri, bhasikoro remurume rokuendesa kubasa, foshoro yekushandisa mugadheni, nezvimwe zvinodiwa. Asi munotanga mataurirana musati matenga chinotengwa.

Kusashamwaridzana pauviri hwenyu
Nyaya yokuti kushamwaridzana pauviri hwenyu inobatsirei taidzokorodza kakawanda asi ingari yokuti ushamwari pakati pomukadzi nomurume  chinhu chinokosha chose. Varume vane dambudziko rokuti vanoona mukadzi ane ushamwari navo sokuti mukadzi asina rukudzo. Handizvo. Mukadzi kana ari shamwari yako yapamoyo ndipo paanotokukudza kupfuura kukudza kunoitwa murume anongogarobhongera mukadzi.

Chimwe chinoitisa varume vasaswedera pedosa nevakadzi vavo inyaya yokuti vakadzi vakawanda vanonetseka nenyaya ye CONFIDENTIALITY panyaya dzemumba. Kana mese mukahwisisa kuti pamusha penyu ndepenyu. Pane nyaya dzapo dzisingafaniri kubuda kuenda kuvanhu vasingagaripo, zvinobatsira paushamwari nokuti munotaurirana nyaya dzakawanda. Kana umwe akaita tsika yokubudisa nyaya, zvinonetsa kumuona seshamwari.

Vavakidzani vanouya pamba penyu vachitaura nyaya dzavo asi hazvirevi kuti imiwo munofanira kungotaura zvese kuvanhu. Bodo.

Kushamwaridzana zvinoreva kuti munogovana pazvinhu zvese zvomumba menyu, uye munotaudzana panyaya dzese. Kana umwe wako akataridza kugumbuka iwewo unoshaya mufaro. Kana umwe wako achifara iwe unofarawo. Mukaparadzana munoshaya mufaro. Pakunovata munogumbatirana muchiterera moyo yenyu ichitinhira pamwe chete, muchiudzana nyaya dzinosetsa, kuri kutsvaka kuwedzera mufaro pakati penyu.


Pakaita rufu munonyaradzana, Mukatukana panowanikwa anotanga kukumbira ruregerero. Pakashaikwa zvokudya munogovana zvishoma izvozvo momwa mvura movata.

SUMMARY:
Pano ndiri kuti:
1 Ukasatevedzera zvido zvomurume/mukadzi wako uri kumukonzera kuti akuhurire. Hatisi kuti kukuhurira chinhu chakanaka, kana kuti kuhura kwese kunoitiswa newe, asi tiri kuti ukasabata umwe wako zvakanaka anokuhurira. 

2 Batsiranai mabasa emumba kuti mugare muri pedo napedo mufungwa
3 Ongororai nyaya yemari yenyu mumba nokuti inyaya inopokanisa vakawanda. Dzidzai kugara magarire anobvumidzwa nemari yamunayo kwete kukwereta kana kuba. 
4 Murarega hama dzichitonga musha wenyu asi musapokana nehama pazviri nokuti vari kuda kubatsira. 
5 Shamwaridzanai mumba menyu pazvinhu zvese. Gara uchitarisa kuti uwe wako ari papi panyaya dzomufaro, uchimubatsira kuona kwamuri kuenda noupenyu hwenyu. 

_____________________________________
UDZAI VAMWE!!!! 

Sunday 24 December 2017

Ivai NeKisimisi Yakanaka

Veduwee. Itai Kisimisi yakanaka nemhuri dzenu mese mese zvisinei kuti muri kupi. Kune zviitiko zvakawanda zvinotyisa zvinokwanisa kuitika kwatiri tese panguva ino. Sai zvaikwanisika kuti tiregere kufamba nezvifambiso mumigwagwa zviitiitira nani. Gore rimwe nerimwe tinorasikigwa nehama neshamwari mumigwagwa, zvikuru migwagwa yedu yemu Zimbabwe isina kugadzigwa zvakanaka. 

Kana uchifamba mumugwagwa, uriwe uri kudhiraivha tinokumbirawo udhiraivhe uchihwisisa kuti mota dzakawanda mumigwagwa vhiki ino saka zviri nani kunanaira  pane kumhanya usingazivi zviri mberi. Mvura iri kunaya zvoreva kuti makomba emumugwagwa anozara mvura okona kunatsoonekwa, uye mugwagwa munyoro unonetsa kumisa mota.

Kana uri mumota youmwe munhu kana kuti mubhazi, pota uchikumbira kuti dhiraivha adhiraivhe zvisingatyisi.  Mamwe madhiraivha ane dzungu nokuda kuoneregwa saka ukamutsiura anotanga kupopota. Kana akatanga kukupopotera muudze kuti wamuka nhasi kuseni ukaudzwa nomuporofita kuti zuva risina kunyura uchaona ACCIDENT saka hausi kuda kuti iitike mumota/bhazi rauri. Kana achida hake kumhanya achidaro ngaamhanye asi chero vanhu vese vari mubhazi vaziva kuti ndizvo zvichaitika.  Uchahwa vamwe vokurudzirawo dhiraivha kudhiraivha zvine mwero.

Ngatihwisisezve kuti mumigwagwa mune zvidhakwa nembavha, nevamwe vanhu vasina unhu. Ukasangana navo mumugwagwa ita zvinhu zvako wakachenjera.

Mava kudzimba, zviri nani kuhwisisa kuti inguva yemhuri kusangana nokukurukurirana nyaya dzakanaka. Kutukana handizvo. Kupokana navanhu chinhu chisina maturo nokuti unochinja mufaro wavanhu vakawanda kuvasuwisa nenyaya yawatanga nomunhu umwe chete. Pane kuti dai wangotorana nomunhu wawapokana naye motaurirana mopedzerana, modzokera pakufara navamwe.

Murume nomukadzi Pakisimisi wonekwai muchifara kuti mhuri yese ifarewo. Isu vana mai vemba ngationewo kuti mhuri dzedu dzaungana zvakanaka. Kana murume akatanga kushushikana tora rouko gwemurume wako mopinda mubedroom wotsiura murume wako kuti asazvichipisa pane vanhu kudaro.  Kana akakuterera, kana vanhu vazoenda, mava mega, tenda murume wako  womuudza kuti akudadisa chose. Varume kana vaita zvinofadza vanoda kupiwa muairo. Tese tinoziva kuti mubairo wakanaka kupa murume ndeupi. 

Kuvarume vedu, kana ukaona mukadzi wako opopota, mutore uende naye mumba umuudze kuti hazvina unhu kupopota saizvozvo.  Kana akakuterera muudze kuti zvakufadza kana mava mega.
Umwe wenyu anokwanisa kudhakwa woita zvinosvodesa. Musatanga kupopotedzana nenyaya dzakadaro. Wana zvinosetsa useke noumwe wako nyaya iite diki. Kwete kukudza nyaya kuita sokuti auraya munhu.  Vanhu dzidzaiwo kuseka pane kungopopota nguva dzese. Kana zvakusvodesa muudze kuti zvange zvichisvodesa asi rambai muchiseka.

Kana wange usina kuonana nomurume/mukadzi  wako kwenguva refu, shandisai nguva kuyechidzana rudo. Kana wauya kumba une chigwere chechihure, enda kushop undotenga makondomu kwete kupa umwe wako chigwere.

Pakuparadzana muchawana iri nguva inogozha nokuti zvinogwadza kuparadzana nevanhu vaunodanana navo. Kisimisi inguva yemhuri pazvinhu zvakanaka. Ngatizame kuti pasaita rufu gwatanga tisina kufungira. Fambai zvakanaka mugodzokera zvakanaka munge mawana zvinonakidza zvakawanda kusvika pakuzvitaura nomufaro gore rese idzva iro ratidongorera 2018.  Tichipa kutenda kana razosvika.

Toramba takashinga pakusahurirana mudzimba dzedu. Asizve ngatiyeuke kuti kunyimana kwakaipa kupfuura kuhurirana. Kana une murume/mukadzi hwisisa kuti zvinhu zvaunazvo hazvisi zvako wega. Mava vaviri pazviri saka garai muchigovana. Hazviperi. munokwanisa kugovana zuva nezuva asi hazviperi.

Zvikuru isu takauya kubva kumhuri dzedu tichivinga murume. Usarega murume wako ichiita nzara yebonde iwe uri mupenyu uye usingagwari. Ngatiite tsika yokukwezva varume vedu vagare vari muzhezha rekuisana nesu. Tese tigowanawo mufaro pazviri.

Ndatenda chose.

UDZAI VAMWE. 

Wednesday 13 December 2017

Bhinzi ne G-Spot zvakamira sei?

Kubatsira nyaya verenga pakahi "Mukadzi kuzvidzidzisa kutunda pakurhojana"

Mubvunzo uri pano wauya ndikaona kuti mhinduro yakarebesa kuisa pa Mibvunzo Nenhinduro 13 patiri mazuvano apo, saka ndaisa pano. 

"Ndiri murume akachangobva kuwana. Ndoda kubvunza musiyano uri pakati pe bhinzi ne G spot. ndoda kuziva musiyano wazvo zvichibva pazvinowanikwa munhengo yemakadzi uye mashandisirwo asvinofanirwa kuita nemurume pakurarana. Ndisingazivi kuti zvese zvingashandiswa panguwa yekabatana here kana kuti pane chinoshanda zvakanyanaya panguwa yekuti chombo chababa chapinda mukati. Uye ndingazvishandisa sei semurume zvingafadza mukadzi wangu ? "

Kana tikavanzarika murume nomukadzi manhede, toti uyu apa uyu apa vasina kupfeka, tinoona kuti pane chombo chomurume ndipo pane bhinzi yomukadzi. Kusiyana kwesaizi chete. Bhinzi yakavhagwa nechiganda chakaivhara. Chombo chine gandawo rakavhara musoro kana murume asina kurichekesa. 

Kana murume akaita zemo chombo chinomira zvakagwinya kuti chikwanise kupinza mumukadzi. Chikamira nguva yakati kuti, chinosinira oiri yakatsetseka chose inosvedza kuibata pamumwe. Inoitigwa kuti chombo chisasviika pakuisana.

Kana mukadzi ane zemo bhinzi inomira, pamberi pese panozvimbirira, Mukati munonyorova kuti pakupinzwa chombo mukadzi nemurume vasasvuuka.

Pane chitubu chemukadzi panopinzwa chombo ndipo pakangofanana nepane chihomwe chemabhora emurume asi kungoti zvakasina pazviri nema CENTIMETER mashomanana. 

Kubva paburi retsvina kusvika paburi rechitubu chomukadzi asina kumbozvara inenge iri pa 4cm. Kana wazvara inoti rebei kusvika kuma 5 cm

Murumewo kubva ba buru retsvina kusvika pachihomwe chemabhora anokwanisa kuita 6cm kana kuti pfuurei. Ndiyo siyano yacho.

Ko G spot iripi?
Kubva panzhinzi tiri paya pamuzvinabhinzi avete nemanhede akasimudzira mabvi isu tichitarisa nokuno kwatiri kuona zvese. Bhinzi ine midzi miviri inodzika mumuviri wemukadzi yakatanyanga buru rechitubu rinopinda chombo. Umwe mudzi uku kuruboshwe umwe kurudyi . 

Zvadaro ukapinza chigumwe mumukadzi ane zemo akavata nemanhede kudaro ukatsvanzvadzira kumadziro ekumusoro (ceiling) patingati ndipo panopatsana mudzi webhinzi, ipapo pane bhundu riripo rinokura nokuzvimba kana mukadzi ane zemo. Ndipo panohi G-Spot ipapo.

Pakuisana kwenyu pane maitire anoita kuti chombo chikwanise kugofa kana kukwizirira ipapo panzwimbo iyoyo zvinova zvinowedzera chose kunaka kwekuisana. Kana mukadzi ari pamusoro pemurume zviri nyore kukwanisa kuti chombo chigofepo pa G-Spot. Kana mukadzi achiiswa akafongora zvinokwanisa kuita nyore zvichibva nemafongorero aakaita ipapo.

Kana mukadzi akavata nedivi, akasimudzira gumbo, nokukotamira,  murume ari kumashure zviri nyore kugofapa G spot. Koitazve mamwe maitire aanoziva iye mukadzi kuti ndikadai murume anokwanisa kugofa pa G-spot.

Kugofiwa kana kukwiziwa pa G-spot kunokonzera mukadzi kukasira kuita Orgasm zvichibva nokuti munhu anofarira kuiswa zvakadii.

Mubvunzo wati ndechipi chinoshanda zvakanyanya bhinzi kana G spot kana muchiisana. Mubvunzo uyu ndiwo hawo asi ngatitange nokuhwisisa kuti G-Spot iri mukati, bhinzi iri kuzhe asizve G Spot ndipo panopatsana mudzi webhinzi kureva kuti ibhinzi kana tichiitarisa kubva nemukati. Kana tichifamba muTUNNEL inohi chitubu mukadzi akaita manhede toona bundu racho riri mudenga.  Saka mubvunzo haukwanisi kuti tipatsanure zvinhu izvi zviite zviviri nokuti chinhu chimwe chete.

Manerves anoita mukadzi anakigwe akanosangana nokuita fundo rinohi bhinzi kuno kuzhe asi anodzika nemidzi kuti pakuisana kugofagofa kwechombo kunakire mukadzi.

Zvokuita:
Tauriranai mugaroisana zvinoita kuti mukadzi agofiwe nechomo paG-Spot asi murume wega wega ane mukadzi ngaashamwaridzane nebhinzi yemukadzi wake. Vamwe vakadzi vari SENSITIVE saka murume ngaazive kuti mukadzi wake pokubata ndepapi.
Hwisisazve kuti kuti chombo chigofe papi zvapo zvinobva nezvimwe zvinhu zvakasiyana pavanhukadzi nevanhurume zvinoti :
1.     Saizi yemagaro
2.     Saizi yechombo chimire
3.     Kukora kwechombo
4.     Maitire amuri kuita
5.     Zemo rine mukadzi panguva iyoyo.

Kune vakadzi vasingatani kunyorova, zvoreva kuti pamberi pazvimbirirawo G spot yave bundu mukati. Koita vakadzi vasingakasiri kunyorova. Murume anombotambawo nebhinzi achireva mukadzi wake. Kumwiwa minyatso kana kunanzwa bhinzi kunokasirisa kunyorova. Mukadziwo kubatabata chombo chomurume kana kuchisveta kunowedzera zemo.

Kuisana ndekwenyu mese. Kana mada zvokuisana chiregai zvokusvoda. Uchasvodei iwe watobvisa zvipfeko. Kana murume achikubatabata vhura makumbo anatse kubata. Pota uchimuudza zvkuita sezvaunoita asipo uri wega zvaunoziva kuti zvinonaka. Dzidzisa murume munakirane.

Kana mokadzi asina kunyorova imbomira kupinza, wana zvimwe zvokuita naye. Kana anyorova ukapinza chigumwe wega unohwa kuti panhu poda chinhu chapo apa.

Jaidza mukadzi kukukwira nokuti kana ari pamusoro unoona achigonya kuti chombo chigofe paanoziva kuti panonaka. Uchaonazve kuti haawanzi kuda kuti chombo chese chipinde mukati, iri nyaya yokuti mukatikati chinenga chapfuura pane mudzi webhinzi chava mberi. Asi mukadzi anoziva kana murume ava kuda kudiridzira ndipo pokusimudzira chiuno chombo chese chopinda. Hapana anokuti simudza wega unongoziva kuti  zvinhu zvangu zvava kutouya, murume kwii, chiuno simu, murume otobvunda aripo. Iwe wototsinzina masiso kugovana nguva yakanaka nomurume wako.

Poitazve imwe nyaya yebhinzi
Vakaita research vanoti ivo kota (25%) yevanhukadzi vese mupasi rese vanowana zviri nyore kutunda pakuiswa nomurume, kutunda (orgasm) kuchingobva pakunakigwa nokuiswa. Koitazve imwe kota (25%) vasingakwanisi zvachose kutunda kubva pakupinzwa chombo chete.  Vamwe ava vasara 50% vanoti pano akwanisa nhasi, mangwana atadza, kungosiyana nezvaari kuita musi iwoyo. 

Vaongorori vakaongorora makore akawanda uye pavakadzi vakawandisa vachitsvaka chose kuti siyano iri papi inokonzera kuti umwe agarotunda umwe atadze. Zvakazoonekwa kuti kusiyana kuri pakuti kana chombo chiri mukati murume achikoira chombo chichigofagofa mukati chinogwinha nyama dziri pedo nebhinzi zvinova zvinonakira mukadzi. 

Hino maNERVES aya akanoungana pabhinzi anodavirirawo kugwinha gwinha kuya mukadzi otunda. Saka vaya vanonetseka kutunda kwahi zvinoitiswa nekutarangana kwakaita kubva pabhinzi uchidzira zasi kuzvika panotangira buru rechitubu. 

1 Kana kutarangana kwapo kukava pasi pe 3 cm (25% yevakanhukadzi) unokwanisa kukasira kutundiswa nokukoigwa nomurume pasina chimwe chiri kuitwa. Ndivo vaya vanzi pese pese paaiswa anowanzotundiswa nechombo chete. 

2 Kana kutarangana kukapfuura 3 cm,unokwanisa kuti umwe musi wotunda umwe musi bodo.

3 Kana kutarangana kukazotiwo kwapfuura kuma 2.5cm zvonetsa kutundiswa nechombo chete.  

Saka kana uri uya anonetseka unofanira kuti uku murume ari kukupa chombo nomoyo wese uku iwewo uri kuzvikwizirira bhinzi yako kana kuti iye murume ari kutama nayo achikukoira futi. Asi mhomho yedu yese zviri nano kutanga tamborezvana tozopinzana chombo zemo rava mumuviri wese havi yokuda kuiswa isisakwanisi kuiginowa. 

Hwisisaizve kuti mudzimba dzinoisanwa zvinogutsa hamuna hasha kana bopoto. Mumba kakareruka kugara. 

Mai vemba: usagara nomurume usingazivi kuti chombo chake chiripapi uye chinobatwa sei, chinofarira zvipi uye chinoshandiswa newe sei. Wakavinga chombo. Zvimwe zvese zvaivako kumusha kwako. 

Baba Vemba: Usagara nomukadzi usingazivi kuti bhinzi yake iripapi uye inobatwa sei, inofarira zvipi uye inoshandiswa sei. Mukadzi wako akakuunzira bhinzi yake kuti uifarire ukovata naye. Ane zvimwe zvakato wanda, mazamu, magaro, zvidya, zvese izvoz nazvo. Jairazvo kugumbatira mukadzi wako zuva nezuva aswedere pedo newe nomoyo wako.  Kana muvete gubatira mukadzi wako. jaira kumuzevezera zvaunoda muzheve chaimo 

Ndiyo nyaya nebhinzi nomudzi wayo iyi. Tikawana zvimwe tichawedzera. 


Udzai Vamwe. 




Kubva pamusoro pechitube kusvika pazasi pe bhinzi, kana kutarangana kwazvo kukapfuura 2.5cm zvoreva kuti kutunda kwemukadzi hakukwanisi , kana kuti kunonetsa kuitiswa nokukoigwa nechombo chete. Zvoda kuwedzera sokuti uku une chombo mukati uku uri kukwiziwa bhinzi. Saka wanai maitire anobvumidza kuita zvese. 

Kana usi murume, pima mukadzi wako uhwisise kuti akamira sei zasi kuitira kuti uzive kuti womuwedzerawo kunakigwa sei. 

2.5 CM ikangopfuura kutarangana kwacho hwisisa kuti zvinomunetsa, nokuda kwekuti chombo hachikwizi mudzi webhinzi kana chiri mukati make. 

Wednesday 6 December 2017

Mibvunzo nemhinduro 13

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 12 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 13. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Ndatenda




Mubvunzo

Mhinduro

0Ko matinji anonzi chii nechirungu? Matinji pa Chirungu anonzi "LABIA MINORA"
ukaverenga apo pakanzi Kuziva mamirire akaita munhukadzi ukasvika kunoperera nyaya yacho uchawana mashoko ese iwawo ari pachiKaranga nechirungu. Wotarisazve pikicha iripo inoratidza kuti chimwe nechimwe pamunhukadzi ndechipi. Handina kuwana nguva yokunyora nezvevarume asi ndichanyora. 
1Ndingaziva sei kuti ndaitira murume chikapa?Ndingaziva sei kuti ndaitira murume chikapa? Unoxiva nokuti ndiwe unofunga kuita chikapa chacho sanga hazviiti kuti uite ugasaziva kuti waita. Chika kungohwisisa kushandisa chiuno kuti uku murume ari kukupa chombo uku iwe uri kugamuchirawo chombo. Zvoreva kuti mese muri kukoirana. Iwe zvoda wakabatirira murume kuti unatse kushandisa chiuno, uchinatsohwa mapindire echombo uchihwa zvinokunakira. Varume vakawandisa vanokomburena kana mukadzi asingahwisisi kushandisa chiuno.

Hazviiti kuti usaziva.

2Ndingaudza sei murume kuti zvinondifadza kumboita nguva tichitamba before taita bonde? Anoti panguva yokurara akangoti twii otondivhura makumbo. Ndiatsireiwo.MMunhu wese hakuna anongomuka umwe musi achitoziva kuti zvoitwa sei. Tinotodzidzawo kuva kune zvinotaugwa neshamwari, zvatinoverenga mumabhuku, kana zvatinoonawo pamafirimu. Kana muri mumba nomurume, hazviiti kuti anongoziva zvinokufadza kana kuti iwe unongoerekana waziva zvinomufadza pasina amuudza. Iwe ndiwe unotofanira kumuudza zvinokufadza kuti azive. Iwe futi kurudzira murume kukuudza zvaanoda kuti ugozviita.

Dzidza kutaura nomurume wako wakasununguka panyaya idzi asi tanga nokuhwisisa kuti kuva mukadzi wemunhu zvoreva kuti wava munhu mukuru saka unofanira kukwanisa kutaura nyaya dzechikuru. Asi pakutaura usashoropodza murume, kurudzira.
3Mukadzi wangu is too fat. Ndikamutsiura anotsamwa for a long time, Hanzi unofanira kundida sezvandiri, but ndakamuroora akanaka zvokuti. Now at 34 ave twice the size. Not nice. HELP!.Munhu wese akakora kupfuura pakafanira zvinokanganisa kufunga kwevanhu vari mumhuri yake. Kukoresa handi chinhu chakanaka.

Uko kuzokuti unofanisa kumuda sezvaari hazvirevi kuti haazivi kuti akakoresa asi kuti ari kutotamburawo nokukora kwake. Iwe usamushora pazviri asi kumukurudzira kuti ambowedzera ma EXERCISE sokuti kufambafamba zuva nezuva.  Kukora kunoitiswa nokudya zvokudya zvisina kukufanira. Mumba menyu dzidzai kudya zvakakodzera uye kusawanza mafuta pakubika.

Chokutanga kutaridza mukadzi wako rudo uye kumupa CONFIDENCE pane zvaanotaura uye kuita. Kana munhu akava nechimwe chinhu chaanoona sechisinganakidzi vamwe kuona, anobva aderedza CONFIDENCE. Ibasa rako iwe murume kubatsira mukadzi wako kuva munhu ane CONFIDENCE. Kana usingafariri kukora kwake tanga kuti muite maEXERCISE mese asi kana maita iwewo womupa mubairo pese paanoita.

Chinosvota ndechokuti munhu anofanira kukusapota paunoita dambudziko otanga kukushotopodza kutevedzera vokuzhe. Bodo handizvo. Taridza rudo kuti iye akwanise kukutaurira mafungire ake kuti ugomubatsira pane zvaanoita kugadzirisa.
4Musikana anobviswa humhandara kutanga pamakore mangani?Zvokuti anobviswa humhandara ava nemakore mangani hazvisirizvo. Asi kuti ngaasabviswa kusvika ava nemakore okuti. Zvinozikamwa kuti musikana anokasirisa kutanga kuvata nevarume anowedzera pa CHANCE yokuzoita CANCER yechibereko kana akura. Zvoonekwazve kuti mukadzi anovata nevarume  vanopfuura 5 kana 6 anoitazve chigwere ichi.

Kana tichingotarisa panyaya yezvigwere zvinobva pakuisana tinoona kuti varapi vanoti musikana ngaasaiswa kusvika apfuura makore 18. Kana akatanga kuiswa ari pasi pezera iri, anofanira kushandisa makondhomu nguva dzese.
Munyika dzakawanda dzisina vanhu ve chiARABHU zvinonzi munhu ari pasi pemakore 16 mwana. Ku EUROPE makore 18 mwana. Kana murume akavata naye anosungwa asi kana vakasiyana makore zvishomanana haasungwi kana musikana ange apfuura 16.
5Kudyanana pamberi mukadzi nemurume kwakanaka here kana kuti kwete? Zvese zvinoitwa pakuvatana kwenyu mumba zvinoitwa nokuti munozvifarira mese. Kuti kuisana kwenyu kunake menge muchizvifarira mese. Kudyanana pamberi kunonaka chose asi munofanira kuva vanhu vane utsanana, uye vanofarira kudyanana. Kana muri vanhu vanovimbika hapana chingahi chakaipa pazviri. Kana umwe achihura zvinokwanisika kuti pane zvigwere zvinouya mumba. Asizve mutemo wekuisana ndewekuti kana uchifungira kuti uri kuhurigwa, usavata noumwe wako kusvika mese mahwisisana kuti hapana zvigwere.

Kupiwa rurimi nokusvetwa bhinzi kunonaka chose  kupfuura kupinzwa chombo.  Kusveta chombo chomurume chimire kunofadza chose uye kunoita uve RELAXED zvoreva kuti paunozoiswa unenge wakarerusa muviri zvinova zvinowedzera kunakigwa.

Kana mese muchizvifarira hapana chakaipa. Asi kana muchipinda chitenderi cheChitawara hamubvumidzwa kudyanana kana kubatana nemaoko pamberi.
6Ko vasikana vane magaro makuru vanonaka here?  Chinonaka pamunhu handi nhengo dzemuviri wake sokuti magaro makuru. Chinonaka mafungire nemaitire emunhu pakuvatana. Iwe ukafunga kuti zvauri kuona pamunhu zvinokufadza kuona, zvinokwanisika kuti paunozoisana  nomunhu iyeye unonakigwa naye. Umwewo murume achitarisa mukadzi wako ane magaro makuru, anokwanisa kusamboona sechinhu chakanaka saka akawana mukadzi ane magaro makuru haanakigwa naye.

Saka zviri kwauri kuti unoona magaro makuru chiri chinhu chakanaka pamukadzi here kana kwete. Mazuvano varume vakawanda vanoda vakadzi vari pakati nepakati panyaya yokukora nokuonda. Magaro akakura akatobuda mufashoni asi kune vamwe vashoma vachiri kumada pavakadzi vavo.
7Bonde muchangoroorana rinonaka zvimwe chetezvo kana machemedzana here? Kana muri vanhu vane rudo Zvinokwanisika kuti muwedzere kunakirana zvichibva nokuti muri vanhu vanohwisisana here pakutaurirana. Kunaka kwekuvatana kunobva pazvinhu zvakawanda pakati penyu asi chikuru chazvo kuhwisisana nokuwirirana. Mese munofanira kuda kuisana uye mese munofanira kufarira kufadzana. Kana mabva zera munohwisisana kupfuura muchangoroorana
8Mukadzi anoita sei kuti akurumidze kutunda pakuiswa?Nyaya yauri kuda kugadzirisa inyaya yemurume anokukasirira. Pakuvatana haufaniri kutsvakiridza kuti zhinhu zvikunakirewo asi kuti munobatsirana kunakirana kwenyu, mese muchihwisisa kuti muri kupa zvese nokugamuchira.

Murume wako anofanira kugadzirisa nyaya yokukasirisa kuti akuitirewo nguva refu ugorega kuzvinetsa nokufunga kuti ungadii kuti zvikukasirire.

Asi hwisisa kuti mhomho yevanhukadzi haitundiswi nokupinzwa chombo nomurume. HEadQuarters iri pabhinzi kuvanhukadzi vakawanda saka murume wako ngaashamwaridzane nebhinzi yako sezvaunoshamwaridzana nechombo chake.

Kana uchikwanisa kuzvikwizirisa bhinzi pamunovatana kwizirira iyewo achichikucha mukati mako nechombo. Zvinokwanisa kukuitira kana uri munhu anokwanisa kushanda pabhinzi yako uri wega murume asipo sezvinoita vakawanda.

Verenga apa 
9Takaroorana muna August 2017. Murume wangu anondikwira ndiri kuhope. IRAPE here iyi kana kwete? Usatamba nevara rokuti RAPE iro. Kuisana kwenyu mumba menyu zviri kwamuri kuti munoita sei uye munoita kangani kana kuti nguvai. Murume wako anoda kuti muisane usiku mambobatwa nehope. Iwe kana usingazvifariri, taura nomurume ako muisane imwewo nguva yaunoda. Chikuru ndechokuti waratidzwa zviri pachena kuti murume wako anofarira kuisana newe uye kakawanda. Iwewo chimuratidza zvaunoda. Kwete kumhanyira kubvunza kuti RAPE iripo here kana kwete.

Vakadzi vese vane varume vanotoiswa vari kuhope chete dzimwe nguva. Varume vese vane vakadzi vanoisana nevakadzi ivo (varume) vari kuhope. Ndiwo magarire evanhhu mupasi rese. Iwe kana wange usingadi zvokuisana nomurume dai usina kuwanikwa. Ngatiregei kuzvitsvakira matambudziko asina maturo. Kuisana tiri kuhope ndizvo zvinoitwa mudzimba umu.

Iwewo hwisisa kuti varume vanomira chombo kakawanda chose vari kuhope. Kana ukapepuka ukawana murume wako amire chombo, suduruka uwane mukana wekuti ukwanise kumutora chombo unangise chipinde mukati mako ugokwesha kusvika murume akodiridzira. Hapana chakaipa. 
10 Matinji ari normal anofanira kureba zvakadii ?Hakuna chinhu chinohi matinji ari NORMAL kana kuti ABNORMAL. Umwe noumwe ane matinji akasiyana neeumwe munhu saka ari NORMAL ipapo ndeupiko? Chiripo ndechokungohwisisa kuti aunawo iwawo ndiwo akakufanira saka fara nawo.
Matinji mamwe madikidiki, mamwe marefu chose vamwe vari pakati nepakati. Hapana chakaipa. Kana uchinetseka nokuti matinji ako mapfipi, dhonza arebe. Kudhonza hakunei nezera chero wakura unokwanisa kungodhonza. 
11Ko kana fambi yada kutora murume wemunhu, munhu wacho anofanira kuita sei? Hakuna fambi inouya kuzotora murume wako. Murume wako ndiye anotevera fambi, zvirizvo zvaari kuda. Iwe hauna nyaya nefami. Une nyaya nomurume wako. Taurirana nomurime wako mubvumirane zvamunoda kuita. Kana ukadzinga fambi iya murume wako anonotsvaka imwe fambi, kureva kuti haachafadzwa newe

Ukaone umwe wako atanga kuhura zvisinei kuti murume kana kuti mukadzi, hazvichaiti kuti azorega. Kuhura kunokonzereswa nokumhura munhu waunaye, kana kuti nokukura uchiona vabereki vako vachihura.

12Ndinoda kubvubza kuti nhengo yemukadzi inodyiwa sei ? Tanga waverenga apo pakahi basa rebhinzi yemukadzi. Umwe noumwe mukadzi akawana murume anofarira kumudya, anowanazve maitire aanofarira iye kuti murume wake aite. Hazvisi zve UNIFORM yechikoro yokuti tese tongoita zvimwezvo. Asi pamberi panhu padikidiki saka pane maitire anongopedzisira ada kufanana.

Vashoma vakadzi vasingadi kuti bhinzi isvitswe rurimi. Masvitsire acho ndiwo anosiyana nokuda kwekuti vamwe vane bhinzi dziri SENSITIVE chose zvokuti vanoteta, koitavo vamwe vanotoda puresha yerurim pabhinzi. Vamwevo pakati nepakati. Saka murume anokwanisa kukwenya bhinzi norurimi akaisa puresha yakakwanirana nomuridzi webhinzi.

Asi chikuru kuterera kuti mukadzi ari kunakigwa here kana kuti ari kuteta. Kana achiteta kwenyerera mativi ebhinzi wpota uchibva pabhinzi chaipo.

Unokwanisazve kusveta bhinzi sokuti munyatso wezamu asi zvinyoronyoro. Kana iye muridzi achinakigwa anokwanisa kubatirira murume wake kuti aramba aripo achiita zvaari kuita.

Mapedza bvunza kuti zvange zvinchinyanyonaka ndezvipi asi tanga nokuudza mukadzi kuti iwe wanakigwa nomumudya kuti azive kuti zvakufadzawo agosaramba kuzviitwa.

Mukadzi anokwanisa chose kuita ORGASM pakudyiwa uku. Anokwanisazve kuwedzera kuita SENSITIVE kana adaro saka nani kuchirega kutamba nebhinzi. Zvokupinza rurimi muchitubu zviri kwaairi asi bhinzi ndiyo inonaka chose nepakatenderedza bhinzi. 
13 Kusaenda kuchimbizi une mimba ndoita sei?

Constipation
OK iyi ndiyo inohi emergency. Kana une mimba ukaita CONSTIPATION unofanira kukasira kuwana chokuita. Kare vanambuya vainotsaka ruredzo vonyika mumvura vokundonyera kumashure. Ukaita awa yese usina kuenda kutoireti haa hameno kuti unenga wakaitawo sei. Mazuvano tinoenda kuclinic tondopiwa ma Laxative asi unokwanisa kuzoita manyoka nawo saka imwa mashoma uye wedzera mvura yokumwa chose chose. Zvikuru kana uri kunopisa.

Kana zvikaramba enda kuchipartara nokuti zvinoitisa muviri poison wobva wabata zvitachiona zvakawanda iwe une mimba hazvifaniri kudaro. Kasira kundoonekwa. Kana uri kumusha tuma munhu anokutsvakira ruredzo umbozama asi udza vokuclinic kuti une dambudziko. 
14Chii chinoita kuti paminyatso yemazamu paite mapundu?

Mapundu paMazamu

Mapundu paMazamu
Mapundu pama zamu anoita nguva nenguva, zvikuru kana
1 Une mimba
2 Uchimwisa mwana
3 Uchigadomwiwa mazamu nomurume wako

Hapana chakaipa pamapundu. Haasi mapundu chaiwo asi kuti pachirungu anohi ma GLANDS kureva kuti pane zvinogadzigwa mukati mawo zvinoshandiswa mumuviri. Anogadzira oiri onobudira pakasvibirira ipapo paari pedo neminyatso. Vamwe vanotoita mapundu acho nepaminyatso ipapo.

Basa reoiri iyi nderokuti kana uchimwisa kana kut wakamirira kuzomwisa, minyatso inokura yokwizirira pazvipfeko yogwadza kana pasina mafuta. Pakumwiwa ipapo inogwadza futi asi kana mafuta awa aripo hazvigwadzi. usazama kubvisa mapundu awa.
15Unoona sei kuti mukadzi 
imhandara?
Hakuna mukana wekuona kuti mukadzi imhandara. Unotoita zvokubvunza iye mukadzi wacho. Kare zvaimbofungigwa kuti kubuda ropa musi wekutanga kuiswa nomurume zvoratidza kuti imhandara asi kune vakawandisa vasingabudi ropa.
Ndezvokutobvunza kuti uri mhandara here. Iye okuudza. 
17Chombo chihombe chinonaka here? Chombo handicho chinonaka asi kuti murume ndiye anonaka kana achihwisisa zvaari kuita pakuisana. Kukura kwechomo kunokwanisa kutokugwadzisa chose pasina kunakigwa kwawaita pazviri.

Kana uchida kunakigwa dzidzsa murume wako kuti mumbotamba muchibatana batana muchipurudzirana pamberi kusvika wanatsa kunyorova. Zvadaro opinza chombo mukati mako, otora nguva refu kubva paanokupinza chombo kusvika paanokutundira urume. Akasvika maminitsi anopfuura masere zvinonakira vakadzi vakawanda.

Kunaka kwekuisana kunaka kwemunhu wauri kuisana naye. 
18Kubvisa mukadzi bhurugwa kunofamba sei? Bodozve nhaiwe. Mukadzi haabviswi bhurugwa. Kana ukajaira kubvisa munhu bhurugwa ukazozviita kumunhu asiri mukadzi wako, unokwanisa kupomegwa mhosva yokuata chibharo. Kana mabvumirana kuisana iye achitoda kuisana newe, mirira abvise bhurugwa rake ega. Iwewo bvisa rako wega.

Mese ipapo maratidza kuti muri kutoda zvokuisana. Kana akaramba kubvisa bhurugwa zvoreva kuti kuisana newe haasi kuda saka musiye akadaro.

Kana ari mukadzi wako wemumba, unozopinda mumachira asisina bhurugwa kureva kuti anohwisisa kuti pane nyaya yokuisana. Kana ane bhurugwa mumubhedha, ziva kuti ari kumwedzi saka rega akutambse chombo nemaoko kana une zemo. 
19Zviri Normal here kuti murume akanakirwa nebonde anochema misodzi?

Hapana chiri NORMAL pazviitiko zvebonde pakati pevanhu vaviri vanodanana. Vamwe nevamwe vanoita zvakasiyana siyana. Ndizvo zvinoita kuti vava vanodanana pakati pavo chete. Iwe nomurume wako pabonde renyu munoita zvinokunakirai. Apa zvinratidza kuti murume wako munhu anonakigwa chose nokuisana newe saka unofanira kufadzwa pamoyo nazvo kwete kubvunza kuti zviri NORMAL here. Musi wamunotanga kuita zviri NORMAL ndiwo musi wazvichatanga kufinha zvokuti unotozodemba kuti dai usina kuroorana naye.

Kana achiti anakigwa ochema iwe varaidza murume wako. Womugumbatira womuvaraidza. Kare vana mbuya vairaira kuti kana murume akatanga kuchema pakuisana, isa munyatso wezamu mumuromo make, zvichiva nokuti muri kuisana sei. Chinhu chaitozikamwa kuti varume vanochemedzwa nokuisana, zvikuru paanotanga kubudisa urume. Anooma muviri uku akakubatirira chose kuti usabvapo achikupa urume. Ndiyo nguva yaanokwanisa kuchemedzwa nazvo.

Usatya pazviri. Hapana chakaipa. 
20
Ko kuchemerera kwemukadzi kunobatsirei. 
Mubvunzo uyu unobvunzwa kakawandisa. Munhukadzi akapinzwa chombo nomurume waane rudo naye, uye iye agara ane zemo, zvinonetsa kusachemerera. Hakusi kuti anozviitisa kuchemerera asi kuti chinhu chinongoitika chega.

Asi kune mahurewo anozviitisa kuti murume afunge kuti ari kugona basa.
Varumewo kuchemerera chinhu chinofadza mukadzi. Kuziva kuti uri kunakira murume wako chinhu chinofadza uye chinopa manyawi. 
21Chii chinokonzera kusura pabonde?  Zvinondinyadzisa. Verenga apa:
Hatingati kusura asi toti kubudisa mweya. Zvinoitiswa nomweya unovharigwa mukati nechombo paunochishinya, kureva kuti murume wako ane chombo chakati kurei chinoshinya zvokuti mweya unoshaya kwekubuda nako. Ukazowana mukana wobuda une puresha zvoita sokuti uri kusura. 
22 Mukomana wangu ane makore 26, ini 22. Ari kuda kuroora asi haashandi. Ini handishandi. Zvinoita here kutizira ndisina nhumbu? Ndakarerwa kwanasekuru. Hazviiti. kutizira handizvo kana usina mimba. Zviri nani kutaura naanatete wovatsanangurira nyaya yako voihwisisa. Kana akakwanisa kungozokumbira chete, obvisa mombe youmai. Zvimwe zvese zvinongonyeroranwa pasi moenda. Kana mazozviwana moendesa. Zviri nani nokuti kana ukatizira, murume akatadza kundodaidzira, chimwe chinhu chikazoitika vabereki vako vasingazivi kwauri, zvinokunetsai.
Kutizira hachisi chinhu chakanaka kuita nokuti haukwanisi kudzokera kumusha kwenyu uri wega. 
23Mukadzi anobuda mvura yakawanda kana anakirwa angaita sei? Mukadzi kubuda mvura yakawanda hapana chakaipa asi kungoti vamwe vanoona sokuti zvinoderedza kunakigwa kwemurume, Zviri nani kueredza pane kusanyorova. Ingopota uchipukuta. Kunakugwa kwemurume wako hakufaniri kusiyana nekwevamwe varume. Chiripo kuwana maitire anoita ukwanise kunatsoshinya chombo chemurume wako. Sokuti kuvata nedumbu makumbo ari pamwe chete murume okutanyanga opinza nokumashure iwe wakasimudzira chiuno. Unotohwa manakire azvo kuti akasiyana asi iyewo anonakigwa. Kunyorova hakuna kuipa ipapo.  
24Ko gavakava rinorapa nderipi? Magavakava akasiyana siyana anorapa vanhu nemhuka zvese neshiri. Kana ukagaromwa gavakava zvikuru dete riya unogara une utano. Kutora gavakava worichekacheka woisa mumvura womwa kaviri pazuva, kana wange uchigwara unoona zvoita nani asi rinovava.

Unokwanisa kuisira mombe mumvura kana huku. 
25Unoziva sei kuti une nhumbu? Zvinobva nokuti wava nenguva yakadii une mimba yacho kana ichangotanga unokwanisa kuita mwedzi wese usingazivi kuti unayo wzoona wanonoka kuenda kumwedzi wozoona mwedzi unotevera warega futi kuenda kumwedzi Asi ipapo unenge wava kugarorutsa.

Nizv zvokutanga kuona asi kune zvimwe zvinozotevera. 
26Mai Chibwe, mukadzi wepa next door akanaka zvisingaite and zvipfeko zvake hazviite futi. Ndine wangu mukadzi but ndichiva wepa next door. HELP!Usatamba nechihure zvakadai uwe. Kana une mukadzi mumba enda kuma uongorore mukadzi wako uone chinhu chimwe chete chakanaka paari ugogarochifunga ichocho. Tora pikicha yake achiratidza chinhu ichi ugogaroitarisa. Kana pawaionera fonera mukadzi wako umuudze kuti unomuda uye uri kumufunga.

Uchaona kuti mukadzi anochinja zviito zvake, zvikuru pakuisana kwenyu. Iwe chiona mukana wawapiwa uyu wekupedza shungu pamukadzi wako. Hwisisazve kuti murume wepa next door ari kugarotarisa mukadzi wako achitomuchivawo zvauri kuita wake.  Hapana zviripo apo. Waunaye ndeye chaiye. 
27Chii chinokonzera kuti mudzimai arire panguva dzebonde?Handina kuhwisisa kuti kurira kuita sei. Sori kana pane anoda kutsanangura ngaatsanangure. 
28Zvakasiyana here kukwira mukadzi kudhodhi nokukwira umwe murume? Vakawanda vanoona sokuti hazvina kusiyana asi nyaya yavappo ndeyokuti kana mukadzi wako achida kuti ugare uchimudaro zviri nani kuzviita naye nokuti ndizvo zvaanoda. Izvo zvokuzoti zvakasiyanei nokuita umwe murume hazvichina basa nokuti iwe hauna kuroorana noumwe murume. Unenge uchafungirei umwe murume.

Asi hwisisa kuti kana wambomupinza ikoko usazopinza kumberi using kunatsogeza nokuti maBACTERIA akasiyana saka ingakonzera utachiona kupinda kumberi zvigonetsa. 
29Ko kana ndikadya murume mb**o haazonditundiri mumuromo here? Zvakanaka here kutundirwa mumuromo? Pamunotanga kudyanana munotaurirana kuti zvinonaka here uye munofarira kuzviitirana here. Pakutaurirana ipapo ndipo pamunoudzana kuti zvinosvikepi. Iwe chibva wamuudza kuti kudya unokuda chose asi ngaasakusiira urume mumromo. Iwewo murume wako unomuziva maitire ake kana oda kutunda saka unobawa mira kusveta, womupedzisa nemamwe maitire.

Musi waanotanga kukupa urume mumuromo usaita hanya nazvo asi kana azviita achiziva kuti hauzvifariri, iwe imoti mira mire wozomukisa akarivara moshaya urume mumuromo.  Uchaona kuti haazozviiti futi.

Urume hahuna kuipa kana une murume asingahuri. Asizve kana murume wako achihura usatomboita tsika yokuisana naye nokuti unofa uri mwanana.

Kana murume wako achikudyawo uchahwa kuti zvinonaka chose asi muudze zvokuita zvinokunakira. 
30
Chii chinoita kuti mukadzi wemunhu akwirwe neumwe munhu? 
Kuhura kwevarume nevakadzi kwakati siyane. Varume vanohura nokuda kwekushaya rukudzo kuvakadzi vavo. Vakadzi vanohura kazhinji nokuda kwekushuva rudo. Kana asingapiwi rudo nomurume wake anonotsvaka rudo kune vamwe varume, Zvikuru kana murume wake asingadi kuterera zvichemo zvemukadzi wake. Akazongoodzwa kuti munhu ane moyo wakanaka kana kuti munhu akanaka kutarisa noumwe murume, anobva atotsvaka mukana wekupa umwe murume uye rudo zvoperera pakuhura.

Varume verudzi gwedu havadi kutaura nyaya kana mukadzi ane chichemo. Anozoda kutaura pama paita Crisis. 
31 Tine mwana umwe chete. Murume wangu anogara achindirova nguva nenguva. Mazuvano akatanga tsika yokuti akandirova anondi kwira zvekufosera. Kana ndikada kuramba anondirova futi. Handichazivi zvokuita. Chokutanga kuhwisisa kuti nyaya yokurohwa nomurume haisi nyaya yaunofanira kugara nayo. Pane zvikonzero zvakawanda zvinotisa kuti murume/mukadzi agare achirova umwe wake. Zvinoti:
1 Kukura achiona baba vachirova mai.
2 Kutadza kutaudzana noumwe munhu mukuru zvobva zvoitisa hasha.
3 Kuva nechigwere chinohi Mental Illness.

Zvino kana usingazivi kuti chaicho chiri kumukonzera kukurova chii, haufaniri kugara naye nokuti anokwanisa kukukuvadza umwe musi.

Nyaya yokuti anokubata chibharo iyo inyaya inotyisa. Inoratidza kuti pane chiri kuitika mufungwa dzemurume wako chisina kururama. Dai wambokwidza nyaya yako kuvakuru vemhuri vakubatsire kufunga.

Asi tichitaura chokwadi inyaya inoda mapurisa. Kana akakurova akakubata chiharo, unofanira kutsvaka mukana wekuenda kumapurisa uye kutora mwana woenda naye kuri SAFE. Hazvisi normal kuti munhu anorova mukadzi wake obva amuata chibharo futi. Zvinoda kugadziriswa asi hwisisa kuti unokwanisa kupedzisira warambana naye.
32Ko kusv**wa musango zvakaipei? Hapana chakaipa kana asi kungoti munofanira kuchenjera nyoka nemago nemagangemukange chete. Kozotiwo munofanira kuenda pakavanda pekuti musawanikidzwa nevaya vanotsvaka huni kana hwiwa mumatondo.

Kusiyanisa pokuisirana kunokwanisa chose kuwedzera kunaka kwazvo saka munotokurudzigwa kuwana nzvimbo dzakasiyana siyana dzokunakirana.

Verenga apa pakahi "Siyanisai nguva nenzvimbo"

33Mazamu anobuda mukaka here iwe usina nhumbu? Mazamu anokwanisa chose kubuda mukaka kana usina mimba, zvinongobva nokuti une murume anofarira kugaromwa mazamu ako here. Mazamu akagaroitwa zvimwe zvinhu anotanga kugadzira mukaka. Mazuva ekutanga anobuda mvura asi nenguva anozobuda mukaka. 
34Ma HOOK WORM (makonye emudumbu) anobatwa sei uye anobviswa sei? ma HOOK WORM makonye anogara muura hwemunhu anokwanisa kukonzera zvigwere. Munhu anawo anoondorora kuita katete tete nokuti chikafu chaanodya chinodywa nemakonye aya.

Munhu ane makonye akaitira svina mudondo, svina iya inenge ine mazai emakonye. Mvura ikazonaya inokukura svina iya yondosiya kugwizi. Vana kana vanhu vakuru vogeza mugwizi vobata mazai aya. Kusina kupera nguva vatovavo nemakonye acho.

Kana ukafungira kuti une makonye awa unofanira kukasira kundorapwa. Pane mukomana wandakapinda naye chikora akapiwa mushonga wemakonye iwawa akakwanisa kubudisa gonye raiva 7metres kureba. Ipapo ange aonda zvokuti vanhu vaifunga kuti achafa. 
35Zvinoita here kusaenda kumwedzi usina nhumbu?               Zvinoita chose kana muviri wako usina BALANCE yema HORMONE. Pane zvikonzero zvakawanda asi zvikuru zvacho ndeizvi:
1 Kufunganya
2 Kuonda zvakanyanya
3 Kukoresa
4 Kutadza kukandira zai. 
35Chombo chinofanira kukura ma cm mangani? Kana tichitarisa kukura kwechombo tinotangira pakubvunza kuti chombo basa racho nderei. Towana mabasa maviri anoti
1 Kuweta
2 Kuzvarisa mukadzi.

Kuweta hakuna basa nekoti une saizi ani.
Kuzvarisa kunoda kuti chombo chikure zvokukwanisa kupinda mumukadzi. Mukadzi ane zemi akadzika zvokusvika pa 10 cm. Saka chombo chikakura kusvika 11 cm chimire chinenge chakakura zvakakwanirana nebasa. Asi AVERAGE iri pa 10 cm kusvika pa 16 cm. Kune vashoma vanosvika kuma 20 cm kana kupfuura asi zvinoita sokuti kuremara. Varume ngochani vane AVERAGE iri pamusoro kupfuura varume vasiri ngochani.

Verenga apa ugotarisa kusiyana kwemarudzi (Saizi yechombo)
36 Ndokumbirawo kubvunza kuti ndingakwira sei mukadzi kana ndichida kumugutsa chaiko? Kana uchida kugutsa mukadzi wako? chokutanga kuhwisisa zvaanofunga iye kuti ndizvo zvinomunakira. Kuti uzive zvinomunakira unotofanira kumubvunza kuti chii chaanofunga kuti chinonaka chose pane zvese zvinokwanisika kuitwa pakuisana. Kana moda kuisana muvunze kuti anoda kuti muisane sei. Kana mava kuisana terera zvaanotaura.

Asizve hwisisa kuti vanhukadzi vane bhinzi inoti kana ikashandwa zvakakodzera inonaka chose saka shamwaridzana nebhinzi yemukadzi wako nguva dzese.

Kana mukadzi wako achisvoda kutaura iwe tanga nokumuudza zvaunoda iwe ugozomubvunza akuudzewo zvaanoda iye kukapera vhiki womubvunza futi. 
37Ndezvipiko zvinoita kuti mukadzi anzwe kuda bonde nguva dzese? 1Kutaridza mukadi wako rudo nguva dzese
2 Kutaridza kuti unofarira kugarobata mukadzi wako magaro, mazamu, zvidya, kumukisa pese paunowana mukana.
3 Kushamwaridzana nomukadzi wako
4 Kuterera mukadzi wako achiita nyaya newe, kubvunza mibvunzo pane zvaataura.
5 Kumuudza nyaya dzinosetsa
6 Kumubatsira mabasa emuma

Uchaona kuti anowedzera kukuda. Hino isu maitire edu ndeekuti tikaita rudo tonofarira kuva nomurume pedo pedo saka kuisana kunowedzera. Kana uchida kuwedzera kuisana nomukadzi wako tanga nokuratidza rudo. Zvimwe zvese zvinouya zvega.
38Mhando dzouroyi ndedzipi?          Uroyi hwakasiyana siyana asi uroi ukuru CHIHURE.
1 Chihure
2 Kureva nhema mumba
3 Kunyimana pakuisana
4 Kutukana
5 Kutambisa mari pazvinhu zvisina maturo
6 kusaronga upenyu pamwe chete
7 Kuvenga hama
8 Kusatorera vana EDUCATION INSURANCE vachiri vadikdiki
9 Kusagadziridza nyaya dzokupokana nguva ichipo
10 Kunyeyana nevanhu vemuraini, kana hama kana shamwari.

Uroi kuitirana zvakaipa chete chete. Hakuna humwe uroi hunowanikwa muvanhu.
39Murume wangu anokasirisa kutunda. Pamwe minute chaiyo haisviki. But anobva akumbira ruregerero but zvinondisvota. Kukumbira ruregerero zvinotoreva kuti anoziva kuti hauzvifariri. Pane zvamunokwanisa kuita mese. Imbozamai izvi zvandakaudzwa nevamwe paKisimisi pano. Kwasara awa imwe chete kuti mundovata, tora murume wako, wokweva ganda rechombo musoro wobuda pachena. Womuzora TOOTHPASTE wodzosera ganda. Zvadaro mava kunovata otnga ageza mozama kuisana. Asi mujaidzana tsika yokuti akapinza chombo momboita nyaya musingafakanyiki makapindana kudaro. Mukaita nguva sokuti 5 minutes, mombosiyana moitazve nyaya, 5 minutes. Mopinzana futi moita nyaya, mozokoirana asi muchipota muchozorora. 
40Mukadzi wangu haana saini yekunakirwa kana kusanakirwa. Chikapa haana, kuchemerera haana. Rubatsiro please. Kune vakadzi vakawanda vasingakwanisi kuratidza kuti vari kunakigwa, iri nyaya yokuti haana kusununguka pakutaura nomurume wake. Pakunoisana haarambi kuisana asi haataridzi kuti zviri kufamba sei. Mumoyo make angada chose kuiswa asi kuti aratidze kuti anohwa sei zvinomugozhera.

Chokutanga dzidza kutaudzana nomukadzi wako kusvika ava kukwanisa kutaura nyaya dzkuisana akasununguka. Panguva iyoyo mutsananurire kuti kana asinganakigwi iwe haunakigwi naye saka zviri nani mese muudzane zvinonaka uye mutaridzane pazvinenge zvichinaka.

Kuchemerera handi kwevakadzi chete. Iwewo kana zvichinaka ratidza kuti zviri kunaka. Iye akakuhwa uchidaro anokwanisa kuzokoperawo.

1 Musaisana murima
2 Mukurudzirewo kupota achikukwira
3 Tanga nokumubvunza kuti anoda chii nhasi womirira kusvika ataura zvaanoda.
4 Mapedza bvunza kuti anakigwawo here uye muudze kuti ange achinaka kuti aite CONFIDENCE pazviri.
5 Ita naye nyaya dzezvokuisana kana muri vaviri ajaire kuti zviri NORMAL kuisana.
41Ndakarambana nemukadzi muna July 2017 asi ndomuda uye iye anondida. Ndakamuramba coz aindidyisa. Tine mwana ane makore maviri. Mukadzi anokudyisa ndiye mukadzi anokuda zvokuti anoshaya kuti ukuchengeta upenyu hwese hwake sei saka obva kudyisa kuti usazomusiya. Kudyisa hakuna zvakunoshonda, chinongori chiratidzo cheshungu dzokuti dai murume wangu achindida sezvandinomuita. Kureva kuti iwe wange usingagarotaurira mukadzi kuti unomuda. Hakuna mushonga werudo unopfuura rudo.

Enda unotora mukadzi wako nemwana asi munofanira kutsvaka munhu mukuru mumhuri yenyu mogara pasi motongeswa. Iwe wotsanangurira mukadzi ipapo kuti unomuda chose saka zvemishonga izvo dai adzidza kusiyana nazvo. Mobvumirana kuti pakudzokerana kwenyu chii chamunoda kuti chiitike pakati penyu nemwana wenyu.

Michato mizhinji haina zvakabvumiranwa. Ndoosaka tichiona vanhu vachipokana. Hapana anoziva zvinoda umwe.
42Chii chinokonzera kuti munhukadzi ayite mvura kuzasi? Zemo (kuhwa kuda kuiswa) ndiri rinokonzera kuzasi kunyorova uye kueredza. Pfungwa yomunhukadzi ikangofungira kuti pano ndingangoiswa, Kuzasi kotonyorova. Hakuna mukadzi anokwanisa kuzvidzivirira. Pamwe anonyorova asingatozivi kuti anyorova.

Hapana chakaipa pakunyorova. Zvinobatsira kuti pamunoisana mese hamusvuuki. Mukadzi asinganatsi kunyorova ane dambudziko guru rinotoda kuti andoonekwa kuchipatara asi chero ikoko havagoni kurigadzirisa vanongokupi mafuta okozora chombo kuti kugwadza kuite nani paunopinzwa.

Mate ako kana emurume anobatsirawo futi. Kunyorovesa hakuna kuipa asi kana zvichikushusha pota uchipukuta.  
43 Kukwira mukadzi ndichishandisa Condom kunonakira mukadzi zvakangofanana here neasina condom? Zviri nani kuiswa ne Kondhomu kumukadzi nokuti murume ane kondhomu anowedzera kunonoka kutunda saka munoita nguva yakati rebei muchiisana zvinova zvinonakira mukadzi.

Asi kana une murume anohwisisa nyaya yokunonoka zviri nani kuisana musina kondhomu nokuti kunaka kwazvo kuri mberi. Ganda neganda zvinohwisisana.

44Mwana mukomana anogara divi ripi mudumbu ramai ?  Zvokuti mwana mukomana kana kuti musikana hazvinei nokuti akagara sei mudumbu ramai. Vana vose vanongogara zvakafanana mudumbu.
Muchibereko munokurira mwana mune mvura kuitira kuti mwana asakuvata kana mai vakawira pasi. Hazviiti kuti ugare panzvimbo imwe chete muimba yakazara mvura. 
45Ndingaite sei kuti ndigutse mukadzi pabonde? Tanga nokubvunza mukadzi kuti chaanofarira kuti muite mese chii uye anofarira kuti zviitwe sei. Pamwe ari kutonakigwa chose asi iwe uchifunga kuti haasi kuguta. Nyaya dzese dzinotanga nokutaurirana nokuhwisisana.

Chikuru pakunakira mukadzi kudzidza kumutaridza rudo nguva dzese. Kana mukadzi akaita fungwa yokuti anodiwa nomurume wake, nyaya zhinji dzinochinja maonere aanodziita. Kana usingahwisisi kuti unotaridza mukadzi wako rudo sei zvinoreva kuti haumudi uye iye anoziva kuti haumudi kureva kuti ndicho chikonzero chokuti anoita seasingaguti. 
46
Zvakanaka here kubviswa humhandara nemu komana musati maroorana? 
Kubviswa humhandara musati maroorana chinhu chinoitwa nevasikana vakawanda chose asi chinhu chisina unhu uye zvinokanganisa upenyu hwako nokukasira. Zviri nani kumirira kusvika mukomana abvisa mome youmai, asi hazvibatsiri chinhu kuti ndikuudze. Iwe uchapiwa puresha yakawanda chose kuti uvate nomukomana wako musati maroorana.

Zvadaro uchaita nguva refu usingazivi kuti anokuda here kana kuti haakudi. Uchanetseka chose zvokuti musi waanotadza kukufonera uchapedza zuva rese uchifunga kuti waramwa.

Uchaita nguva yaunopedza uchifunganya pakuti une mimba here kana kwete. Uchatadza kuziva zvokuita kana une mmba.

Kana mombe yenyu yabviswa unovhura makumbo wakasununguka pasina mibvunzo yaunoita. Zviri kwairi kuzvivunza kuti chiito chiri nani ndechipi.

Hwisisa kuti ZEMO rine sima kupfuura fungwa.  
47Mhata inobatwa papi? Mubvunzo wako hauhwisisiki. tanga watarisa pakahi
MAMIRIRE AKAITA MUKADZI/MURUME
48Pamberi pemunhukadzi pane maburi mangani? Uyu mubvunzo unobvunzwa nevarue vakawanda. Havanatsi kuhwisisa nokuti varume vakasiyana nesu.
Pamunhukadzi pane maburi matatu anoti kana tichibva pane bhinzi tichidzika zasi
1 tinosvika paburi rinobuda neweti. Iburi dikidiki saka rinonetsa kuona.

2 Todzikazve tosvika paburi rinohi mheche panopinda nechombo kana muchiisana, panobuda nomwana kana achizvagwa.

3 Toramba tichidzika tosvika paburi rinohi mhata, panobuda nesvina kuchimbuzi.

Mamirire akaita mukadzi
Tarisa apa pazvakatsanangugwa. 
49Zvinoita here murume kurara neni ndiri kumwedzi kana tikashandisa kondhomu? Zvinoita chero musina kondhomu asi kungoti pachivanhu pedu hazvivumidzwi nokuda kweunhu. Nguva yokumwedzi inguva yokusuka chiereko saka zviri nani kumbosiya nyaya yokuisana iyo. asi kungoti varume vanongoita zemo pese pese. Kana iwe uchida kuti muisane uri kumwedzi nekondhomu isanai. Hapana HEALTH RISK. Chinongori chivanhu chete kuti zvinodziviswa.

Murume anoda iwe uri kumwedzi

Imboverenga apa
50Ndokubirawo rairidzo yenyu pakupa murue bonde. 
Pakupa murume bonde, upenyu hwedu tese hwaaita nani chose dai taigarofunga kuti chikubiro chako chinorevei. Sokuona kwangu kana warorana nomunhu ukamuti ava murume wako, unofanira kuzvipira kuti murume wako asashuva bonde iwe uripo uye usingagwari, usiri kumwedzi. Kana zvichikwanisika, iwewo usashuva bonde iye aripo asi chikuru pazviviri izvi chishuvo chomurume wako.  Wakabva kumusha kwenyu kune zvese zvinoti zvokudya, zvokupfeka, asi chisiko murume wekuvata naye. Saka kana wasvika pamurume chiita zvawakavinga.  Nyaya iyi inyaya huru chose uye inokonzeresa upenyu kuipa asi inyaya isingambonetsi kugadzirisa kana iwe wangoyeuka kuti uri pamurume.
Kuzoti bonde rinoitwa sei, yava iwe nyaya asi chokutanga ratidza kuti unoda bonde nomurume. Chechipiri ita zvese zvinodiwa nomurume wako. Gorobvunza kuti pane zvimwe zvaanoda here, kana akuudza woita. Kana muri pabonde yeuka kuti une chiuno chine simba guru rokufadza murume. Kwete kungoti kwindi sewakafa murume achishanda ega. 

Mapundu pamazamu