Saturday 7 May 2016

Tsika yokumwira mukadzi Mushonga

Ndatumigwa mwadhi dzasvika nhatu nevakadzi vane varume vane tsika yokuti nguva nenguva anomwa mushonga wekumisa chombo kwenguva refu, ipapo asina kuudza mukadzi kuti ndizvo zvaaita. Zvadaro oda kuti mukadzi avate akasvinura achimuvhurira makumbo kuzvika azoneta zvokuti vese vavate hope.

Kusvika pakunyora mwadhi yakadai mukadzi achikomburena, zvinoreva kuti pane chamugumbura pazviri. Chii chingagumbura mukadzi ane murume anoda kuvata naye nguva refu? Ko tese wani tinoda murume anodaro mazuva ese . Saka chaipa chii? Chaipa ndechokuti murume angozvifungira ega kuti nhasi anoda kumwira mukadzi mushonga. Mafungire ake ndeekuti mukadzi haanei nokuudzwa kuti nhasi gadzirira tigombotamba nguva refu. Murume uyu munhu asingahwisisi kuti kuvatana ndekwevanhu vaviri saka vanofanira kuronga vese.

Hapana chakaipa kufungawo kuti shuwa dai ndagarotora nguva pakuvatana nomukadzi wangu. Hapana chakaipa kuzama kuzvigadzirisa. Asi kana wafunga kumwira mukadzi mushonga zviri nani umuudze kuti uri kumurongera nyaya nyaya , kuti afane kugadzirirawo kunakigwa nazvo. Kuvatana ndekwevanhu vaviri saka kana pane mushonga waunoda kumwa taurira umwe wako.

Nyaya dzemishonga idzi inyaya dzinokuvadza muviri. Mishonga mizhinji yakawanda ine zvainoita zvisina kukwanirana nomuviri. Kuti chombo chimire BLOOD pressure inokwanisa kubva payange iri igokwira, zvinoreva kuti murume anokwanisa kuita HEART ATTACK. Kuziva kuti murume wako amwa mushonga wakadai ega asina kukuudza chinhu chinotyisa. Hazvinei kuti azokurhoja zvinogutsa.

Kana wada kumwira mukadzi mushonga, tsvaka mushonga unozikamwa mashandire awo wakaita se VIAGRA. Zvadaro tanga waenda kwa Doctor wonotariswa kuti une utano hwakakwana here kukwanisa kushandisa mushonga uyu. Hazviiti kuti Doctor akupe mushonga wakadai pasina chikonzero chaunodira kuushandisa. Saka zvotoreva kuti unofanira kureva nhema pazviri kuti chombo hachisi kumira. Zvadaro achakuongorora kwenguva ozokuudza kuti anokwanisa here kukupa mushonga kana kwete. Kana uri wezera rechidiki kazhinji haupiwi mushonga. Murapi anokuudza kuti unofanira kumirira kusvika chombo chega zvacho chafunga zvokutangazve kumira.

Kana akakuudza kuti haasi kuda kukupa mushonga okuti muviri wako une RISK yekukuvara pazviri, iwe chirega kuenda negweseri wondomwa mushonga wega. Unokwanisa kufa nazvo. Kana akakupa mushonga usangotanga nokumwa mamwire aakuudza. Tanga nomushoma kuti uone zvinoitika. Asi udza mukadzi wako kuti ndizvo zvawaita kuti kana pakaitika chakaipa azive chikonzero uye zvokuita.

Mishonga yedu yechivanhu inonetsa kuihwisisa nokuti kazhinji inoita zvinodiwa kuti iite asi hapana anoziva kuti mugwere anofanira kumwa mushonga wakawanda zvakadii. Zvinoitika kuti unokwanisa kumwa mushonga wakawandisa (overdose)

Hwisisazve kuti kana watanga tsika yokumwa mushonga wekumisa chombo, panosvika nguva inoti unozotadza kumira chombo pasina mushonga. Uchaona kuti pakupera kwenguva unotanga kuwedzera mushonga iya kusvika wapfuura paunofanira. Saka funga kuti kana zvazodaro uchashandisei.

Kana uri munhu wechidiki, chokwadi ndechokuti haufaniri kufunga nezvokushandisa mushonga pakumisa chombo. Chombo chega chinongomira kakawanda pazuva kana une utano hwakakwana. Kana uvete chinomira zvinopfuura ka gumi. Kwaedza chinomira kupfuura kagumi nechanu. Chauri kuzomwira mushonga chii? Kana mukadzi wako asingaguti. Wana mukana wekushandisa maoko ako pakumukwizirira bhinzi yake nepamberi kusvika anatsozara zemo iwe wozomupinza chombo iye okasira kuguta iwe wosara uchitevera.

Kana wava munhu ati kurei, toti makore anopfuura makumi mana, zvinokwanisika kuti chombo chinomboita nguva yachinoramba kunatsoti GWAA kuoma pakumira. Tsvaka chikonzero kwete kungoda kumhanyira kundomwa mushonga wekuwedzera kumira. Unokwanisa kufa nazvo.

Vakadzi:
Kana murume wako akumwira mushonga ukavata wakasvinura nazvo uchiita zvokuchinjanisa maitire usiku hwese, mirira kusvika kwaedza ugogarisa murume wako pasi umutsanangurire kuti hazviiti kuti angoerekana amira chombo usiku hwese saka ngaakuudze kuti zvakabva kupi. Kana azokuudza, mutsanangurire kuti kushandisa mishonga yakadai kunokwanisa kumukuvadza saka zviri nani kuti kana achida kuwedzera zvokuita musi waada zviri nani kuti titaurirane tibatsirane kufunga zvokuita musi wacho.

Mishonga ndiyo hayo. Mukadzi wese anofarira murume anomufunga uye kumurongera zvemanheru asi mishonga dai tashandisa takachenjera. Kana tabvumirana kumwirana mushonga ngatibvumirane asi zvokungoerekana mushonga wamwiwa bodo.  Mumba ngamuite RISK paupenyu inozikamwa nevese vakuru vemhuri, murume nomukadzi.

Mkadzi anoisira murume mushonga 
Koitawo vamwe vakadzi vanoti akaita vhiki yese murume achiramwa kumuisa, pamwe zvabva pakupopotedza, pamwe iri ngari yokuti haachamudi, kana kuti anongoti akaneta, mukadzi woisira murume mushonga wekumisa chombo kuti murume ashushikane pakunovata. Izvi handizvo nokuti unokwanisa kuuraya murume wako. Zvadaro pa POST MORTEM paya kana muri kunyika dzinoita POST MORTEM, zvinobatwa kuti murume ange amwa mushonga. Unokwanisa kusungwa nazvo.

Asi kune vakadzi vakawanda vanozviita kuitira kuti murume ade kumuisa. Zviri nani kugara pasi nomurume wako womuudza kuti dai awedzerawo basa mumba nokuti hausi kuguta. Asi kana wave kudaro wana mataurire okuti murume ahwisise kuti chauri kudira kuti awedzere ndechokuti pakuisana anokunakira saka unoda zviwande. Murume akafungira kuti hausi kuguta pakuisana kwenyu anokwanisa kushaya CONFIDENCE pakuisana opedzisira atoderedza.

Usaisira murume mushonga wekumisa chombo asingazivi. Zvikuru VIAGRA nokuti inoitisa HEART ATTACK kana ane HIGH BLOOD PRESSURE.

Asi iwewo ukajaira kugarobata chombo chomurume uchichipurudzera chichijairawo kubatwabatwa uchaona kuti anowedzera kukunonokera uye chinowedzera nguva yokugara chakamira, iwe wowedzerawo kunakigwa.

Uyezve kugarovhurira murume kunoita asakasira kutunda nokuti anenge asina nguva yakareba asina kumbovata newe. Anononoka monakigwa mese. Vakadzi vemudzimba tinowanzisa tsika yokuita unyope pakuvhurira varume vedu. Murume akavata asina chaaita anotombomira chombo chete avete hope kureva kuti aifanira kunge ambotapudza urume. Tapudza urume hwemurume wako agare akadzikama hana. Newewo uchaona kuti unodzikama kana uchipiwa zvokuita mumba kakawanda paviki.vemishonga izvo dai wamosiyana nazvo.

Udzai Vamwe !!!

Sunday 1 May 2016

Maitire emwana abva zera kuvabereki

Pano toda kumbotaura nemaitire emwana abva zera kuvabereki. Kuvana vakawanda, chinhu chinonetsa kuhwisisa kuziva kuti vabereki vachiri kuvatana. Asi kana ukanatsa kuzvifunga unotoona kuti chinhu chinofadza chose kuziva kuti vabarejo vako vanodanana zvokutogararhojana nguva nenguva. Kana wava munhu ati kurei sokuti wapfuura makore 20 wava kukwanisa kufunga somunhu mukuru, chii chaungaita kuti upewo vabereki vko mukana wekuva ukadzi nomurume vakasununguka moyo. Ndiyo nyaya iri pano nhasi. Imbofungai nezvayo.

Kana mwana ava munhu ava pakuhi abva zera, zvoreve kuti ava munhu ohwisisa zvinoitika pakati pevanhu vakuru. Paanozozvihwisisa vabereki vanenge vatova nemakore vachizviita. Vabereki vanhu vanotarisira utano hwevana saka vanogara magarire ekuti vana vasagaroziva zvimwe zvezvavanoita. Hakuna mubereki werudzi gwedu anofarira kuti vana vake vazive kuti anoita zvekuvatana. Saka kana vana varipo vabereki hapana chavanoita. Zvoreva kuti kana vana vari vanhu vasingahwisisi magarire evanhu vakuru, zvinokwanisa kukanganisa magarire nomufaro wevabereki. Pano tiri kuda kumbotarisa maitire emwana abva zera okubvumidza vabereki vake kuti vaenderere mberi noupenyu hwevanhu vakuru.

Chokutanga ndechokurondedzera kuti munhu wechidiki anogara akazara ma HORMONES ekuda kuvata noumwe munhu zvinoreva kuti anokwanisa kuhwisisa kuti vanhu vakuru vane maHormones awawa uye vane vanhu vakuruwo vekuvata navo zvinoreva kuti vanovata navo.

Totizv mwana wezera iri kazhinji haavati nguva inovata vabereki kureva kuti anokwanisa kuhwa vabereki vachivatana panguva dzousiku. Semazuvano ema foni emuhombodo, mwana wezera iri anenge achitumirana magwaro neshamwari dzake kusvika koda kuedza ozovata vakuru voda kumuka kuti vaende kumabasa. Iyewo ozomuka kuda kuita masikati. Kana asingaendiwo ku University anoswerombeya neraini asina zvaanotsvaka, foni iri muhombodo achipota achifonegwa neshamwari dzakafanana naye. Nguva yokufunga nezvoutano hwevabereki munhu akadai haana asi dai achida, aikwanisa kuwedzera utano hwevabereki vake.

Kufunga utano hwevabereki:
Mwana abva zera anofanira kupa vabereki mukana wekuramba vachiita zvavakajaira kuita. Pakugara nevabereki iwe wava mhunhu mukuru hwisisa maitire evakuru. Ratidzazve kuti wakura. Ipa vabereki nguva yavanoziva kuti vari vega pamba pavo kuti vawane vokuita pauviri hwavo.

Somunhu ane shamwari pota ichiita mazuva aunoshaikwa pamusha asi vabereki vachiziva kwauri. Shamwari dzako idzo dzaunadzo dzine vabereki sewe. Hapana chakaipa kuti muchinjane kuti nhasi mukatandara kumba kwako vabereki veshamwari vombosarawo vega, mangwana monotandara kumba kweshamwari vabereki vako vachisarawo vega.  Asi usati waenda jaidza baba namai kuterera nokuvimba nezvaunovaudza. Usati waenda kunotandara udza vabereki kwauri kuenda uyezve wovaudza nguva yaunodzoka. Unoziva nguva inonovata vabereki vako. Toti vanowanzovata kuma 8 usiku, iwe chivafonerawo kuma 7 wovaudza kuti vasakumirira unouya kumba kuma ten. Ipapo ivo vachaziva kuti vari vega kusvika na 10. Ngazvisaitika kuti umwe musi kana wat unodzoka na teni iwe wodzoka na naini. Bodo. Nonoka kudzoka asi usambofa wakakasira. Usati waenda kwawaenda wesaudza vabereki nguva yaunodzoka. Udza mai vako kuti kana usina kuvafonera nguva yavo yokuvata yosvika vakufonere ugovaudza nguva yaunodzoka.

Wana kwekugaroenda kuti vabereki vawane nguva. Pota uchivhakashirawo hama dzenhuri yako uchimbonovatako umwe musi. Ronga upenyu hwako uchifungawo vabereki vako.

Kana pari pa weekend, usati weekend imwe neimwe vabereki varipo iwe woswerawo pamba. Unoti wadya masikati womboendawo kuPark neshamwari dzako mondoswerako vabereki vachirezvanawo pamba pavo. Hazvirevi kuti iwe hausi wepamba ipapo asi kungoti mese mopanana nguva yokusununguka kuita zviitwa zvezera renyu.

Hwisisa kuti vabereki vachasvika kumakore anopfuura makumi manomwe vachingovatana kureva kuti pauchazoitavo vana vako vakakura kusvika makore anosvika kana kupfuura gumi nemashanu vana sekuru nambuya vavo vanenge vachingovatana.

Kuvatana kwavo kunobatsira mese nokuti kunodzivirira zvigwere zvakawanda kwavari kureva kuti hauzobhadhari mari yedzihosipitari paugwere hwavo. Mari noufumi zvavachasiya pamusha ndezvevana vavo saka kuvachengeta vane utano chinhu chinobatsira mese.

Kana vakashaya mukana wekuvatana, zvinokwanisa kusvika panguva yokusazonatsonakirana kusvika vangozorega, Zvadaro vanoita mamwe matambudziko auchazofanira kugadzirisa iwe asi ipapo iri mhosva yako.

Ngatihwisisane nevabereki vedu kuti kuita vana hazvifaniri kudzikisira zvinhu zvavanofarira kuitirana pauviri hwavo. Ngatifarire kuti vabereki vedu vanovaraidzana pachavo zvinotipawo mukana wekuvasiya vega kana vazokura. Rangarira kuti vese munhukadzi nomunhurume vane nyaya dzomuviri dzinogadziriswa nokuvatana vachiri pazera rokuzviita. Rangarirazve kuti vanhukadzi vanorarama makore anopfuura gumi kupfuura vanhurume pakuchembera. Makore gumi awa anozopera iwe washungurudzwa nokuchengeta mai kana vasina utano hwakanana asi iri mhosva yako.

Dzimwe mhuri: 
Kune vakawanda vane mhuri dzisina vabereki vese. Pamwe una mai voga pamwe una baba voga. Pamwe mubereki iyeye waunaye anofarira kugarotorana neshamwari achiuya nayo kumba kuzovata nayo.  Tinoziva vanhu vava vanhu vakuru vanokokana neshamwarikadzi kana shamwarirume kuuya nayo kumba vana varipo, voti pakunovata vondovata vese.

Kana une mubereki akadai, harisi basa rako kutongesa mubereki. Mubereki anokwanisa kukutongesa asi iwe kumutongesa bodo. Rega aite zvaanoda kuita uye iwe kana ukahwisisa kuti pane shamwari yake ichauya nhasi kana mangwana, vape mukana wekusununguka pazviito zvavo.  Vakawanda vedu tinoda kuunza nyaya dzezviito todzisengedza vabereki. Hwisisa kuti kana munhu anofanira kugarovata numwe, akashaya mukana wekuzviita anoshaya mufaro. Ipa mubereki wako mukana wezvinomufadza aite. Vanhu vemuraini vanotaura nokunyeya uye zvimwe zvezvavanotaura unozvihwa asi haisi nyaya yako. Siyana naya. Iwe nyaya yako kuvaka upenyu hwako zvinokufadza iwe uye zvinodadisa vabereki vako nedzimwe hama.

Kotizve umwe vamwewo vasiri vabereki asi vave vanhu vakaroorana. Mazuvano kusina mari, magarire edu emutaundhi kana kumusha zvinokwanisika kuti unovata mukamuri remba rinoita kuti uhwe zviri kuitika mune rimwe kamuri remba kunovata vanhu vakaroorana. Ivavo vanhu ndivo vaunopawo mukana wekusununguka dzimwe nguva kuti vaite zvinoitwa nevakaroorana. Kana uchifambafamba, vaudze kuti unodzoka nguvai kuti vazive kuti inguva yavo yokutamba pasina anovadzivaidza.

Udzai Vamwe!!!