Friday 26 October 2018

Kunyengwa mubhazi, chitima, ndege, Lift

" Ndodawo kubvunza kuti kana ndiri parwendo rurefu, sokuti two days, ndikasangana nomukomana ari kuenda kumwe cheteko neni, aandinyenga, maitire ane unhu ndeapi pakadai? Ndakakwira bhzi kubva kuHarare kuenda kuCape Town kuna baba vangu ndokusangana nemukomana pamabhazi tikataudzana kubva ipapo. Akagara neni mubhazi tikaita nyaya. Pabhodha akandibatsira pakutakura zvandange ndinazvo, kusvika tapedza. Ku Johannesburg akandibatsizve. KuCape town akandibatsira. tichangobva pabhodha akatanga kundinyenga. Ndaifanira kumutaridza unhu sei? "

__________________________________________________________________________
Nyaya iyi yakareba saka ndangoidimura kuti tese tihwisise kuti chii chiri kubvunzwa pano. Musikana ane makore 19 haana mukomana waari kudanana naye. Mukomanawo ane makore 22. Pakusangana havazivani musikana haazivi kuti mukomana munhu akaita sei. Asizve anoziva kuti mukomanawo haazivi kuti iye munhu akaita sei. Saka apa nyakubvunza musikana ari kuti pane zvaangaita here kutaridza kuti munhu ane unhu kumukomana amunyenga mubhazi. Vane nguva refu vari vese pakufamba kwavo.

Dai vari kuHarare vaikwanisa kunyengana vhiki yese musikana achingotsikatsika asi achiziva hake kuti anoda murume. Pamufambo inguva refu kuti utsikatsike pese apo kusvika kuCape Town.

Musikana ari kuti pamufambo akapepuka akawana mukomana avete pamakumbo ake. Iyewo akatora jira akafukidza mukomana. Zvokudya vakadya vese. Nyaya vakataudzana. Mibvunzo vakabvunzana vakadavirana. Mapikicha epafoni dzavo vakaratidzana vakasekana. Sokuziva kwake hazvina unhu kungoti pawanyengwa wobva watoti unomuda.  Saka pakadai unhu hunoitwa sei?

Unhu chinhu chinonetsa kutsanangura asi kungoti tese tinoziva kuti munhu asina unhu akaita sei. Kana musikana/mukomana asina unhu, hazvinonoki kubuda. Iwe wega unotoziva kuti haasiri wekuti ungataridza hama dzako kana kuenda naye kumba kwenyu. Kare kare kunyengana kwaiitwa hako asi vakuru vaikasira kupindira. Kozotiwo kare (tingati kusvika kumakore akaita se 2000) vavhu mukomana nomusikana vaingonyengana vozonoudza hama vatombodanana nguva refu. Musikana aisabvuma kudanana nomukomana musi waanyengwa iwoy asi aimboita sokuti haadi kusvika mukomana aramba achimukwezva, musikana ozobvuma kwapera nguva refu, sokuti mazuva matatu kana vhiki. Asi pese ipapo zviito zvake zvenge zvichiratidza kuti anoda mukomana. Unhu hwaiti mirira kusvika mukomana ataridza kuti haaneti kukunyenga.

Zvaisabvumigwa kut muvate mese kusvika kuroorana kwarongwa zvisinei kuti munodanana. Mukomana aitarisigwa kuti azame kuvata nomusikana asi musikana achitarisigwa kuti arambe kuvata nomukomana, kutaridza kuti munhu ane unhu. Imiwo maisazviisa pamunokwanisa kuvatana. Maingobatana mazamu nokukisana zvoperera ipapo. Pamwe mukomana aiti achikukisa oisa ruoko mubhurugwa mako, iwe wombomurega kweminiti imwe chete wozomubvisa ruoko womutukirira kuti asazviita futi asi uku iwe watonyorova kuzasi.

Mazuvano vakawanda vanozofunga zvokudanana iri ngari yokuti vakaisana katatu. Pamwe vanotoisana vasingazivani mazita, vachingoziva ma zita okunemera (nick names) Kana mutupo vanenge vasingazivi.  Ndiko kushaya unhu ikoko. Unobviswa bhurugwa wobvuma kuisana nomunhu wausingazivi  kana STATUS yake. Pedzezvo mobuda monotenga machipisi mogara muPARK modya muchiita nyaya. Mangwana okufonera futi oti uya kuFLAT kwake. Iwe woenda monoisana futi. Shamwari yako ikakubvunza kuti SURNAME yake inohi ani hauzivi. Iyewo haazivi kuti unohi ani. Kana achitaura neshamwari dzake anoti ange ane hure rake. Chaanoziva pauri ndechokut uri hure rake rinonaka. Asi haaendi newe kuvabereki vake. Kana ukaita mimba iwe ndiwe unototizira kwaari nokuti iye haana hanya newe.

Saka pakati nepakati pane vanhu vane unhu. Vanohwisisa kuti unhu chinhu chakakosha. Hio pano tiri kuti masangana mese vanhu vane unhu. Zvinokwanisika kuti nyaya yenyu ikarongeka zvakanaka munokwanisa kuzoroorana. Asi pari zvino hapana chamunoziva. Mangosanana pagwendo rurefu.  Mukomana aona kuti uri munhu ane moyo mwaknaka chose. Pamwe ayevedzwa nemamirire akaita muviri wako. Pamwe iwewo waona kuti mukomana munhu asingasvodesi. Ane mutsa. Uri kufunga kuti dai andinyenga. Magara mese mubhazi muri kuenda kure chose. Nguva munayo. Zvoitwa sei?

Sokuona kwangu nguva yamunayo yakareba kungoita senguva yamaikwanisa kunyengana dai muri muraini rimwe chete kuHarare kana kumusha.  ma AWA acho ekunyengana akawanda zvokuti kana uchihwa kuti unomuda, unokwanisa kufunga saizvozvo gwendo rusina kupera. Asi pane zvimwewo zvausingafaniri kuita pagwendo apa.

Uyu ari kuti akabatwa nehope, ndokuzopupuka akawana mukomana akamutsamhira pamakumbo. iye ndokutora jira ndokufukidza mukomana. Iyewo ndokuzoti pava neimwe nguva ndokutsamhirawo pamukomana. Mukomana akazvigamuchira.  pa BORDER mukomana akamiramira kubatsira musikana. Pakudya vakadya vese vachiita nyaya. Mukomana haana chaakavanza pafoni yake akataridza musikana zvakawanda.

Pakuzotaudzana vese vakabvunzana mibvunzo vakdavirana, asi kungoti unenge usingazivi kuti ari kutaura chokwadi here. Vasikanavakawanda vanoziva kuti mukomana ari kutaura chokwadi here kana kwete. Asi kungoti kana ari munhu anoyevedza kutarisa, ruchiva guunokunda fungwa pakuterera sakaukaudzwa nhema unodzibvuma sechokwadi.

Hezvino zvaunofanir kuita kana wafunga kuti unoda mukomana/musikana
1 Mupe nhambha yako yefoni wobva wakasira kumuudza kuti ndeye nyika ipi kuti azive kuti haukwanisi kuzoita sokuti anga ane nhamba isiriyo.
2 Muudze kuti ungafare kana mukaita ushamwari kuti asafunga kuti haumudi aszve asafunga kuti uri musikana/mukomana wake.
3 Kana achikubatsira, rega akubatsire asi tenda nezvaakuitira. Usaita sokuti ndizvo zvaanofanira kuita. Kana uchida akubatsire asi achitaridza kuti haana SHUWA pazviri, mukumbire uone zvaanoita. Kune vakomana vasina CONFIDENCE asi kana wangomupa CONFIDENCE anoita nomoyo wese.
4 Kana pane zvaunoda kumubvunza, bvunza nokuti zvinomutaridza kuti pane zvauri kufunga nezvake. Pane imwe mibvunzo inobvunzwa nechinbende kana uchisvoda. Sokuti unoda kubvunza kuti ane mukadzi/murume here?  Ane musikana/mukomana waari kudanana naye here? Ko kwaari kuenda kunani? Ndiani ari kumugamuchira kana asvikako? Terera mhinduro dzake kuti uwedzere mibvunzo asi usabvunza mibvunzo yese pamwe chete.
Unokwanisa kubvunza zvese izvi kuti uhwisise kuti unokwaniisa kudanana naye here?

5 Kana muri kuenda kumwe chete unokwanisa kumukumbira kuti mukwire TAXI imwe chete. Kana asina munhu anomugamuchira iwe une ari kukugamuchira, unokwanisa kumuudza kuti akana achida afambe newe masvika. Zviboratidza kuti hauna chokuvanza. Kana moda kusvika ukafonera hama yako, unokwanisa kukumbira kuti shamwari yako afambe newe nokuti haana chifambiso.

6 Kana akazokufonera mava kwamunoenda ita nyaya naye uhwisise zvaanofunga pakusangana kwenyu. Muudze kuti wakafadzwa nokusangana naye kuti azive kuti wakaona zvakanaka paari.

7  Mukurudzire kutaura nezvemhuri yake uye muudze kuti wange uchitaura namai ukavaudza kuti wakamubatsira muzhira vakati uri munhu kwaye chose. Terera achitaura nezvemhuri yake uhwisise paamire.

Zvokusaita1
1 Mubhazi kana vamwe vavata uye mafukidzana jira, hazvirevi kuti mukomana anokwanisa kukubatabata. Bodo. kana akadaro muudze kuti akanganisa, uye chirega zvokufunga kudanana naye haana RESPECT.

2 Usabvuma kudanana naye mubhazi imomo kana chitima kana ndege. Bodo mukurudzire kut asakangamwa kukufonera masvika. Sokuti mangwana acho. 

3 Kana usina kwekundovata, zviri nani usabvuma kundovata kumba kwake kana vabereki vake kana imwe hama vasiko. Kana variko, enda hako undovatako. Hakuna munhu mazuvano asingazivi kkuti pakufamba panonetsa. Kana ukawana anokubatsira waita rombo rakanaka. Kana wasvikako uchabvunzwa mibvunzo yakawanda nokuti hama dzinonetseka kuhwisisa kut mangosangana mubhazi. Pamwe uri mbavha. Taura chokwadi chete uye wedzera pane zvavabvunza kuti vazive kuti uri ani. 

Mangwana acho kumbira nhambha dzehama iyi. Kana musikana/mukomana achiti mai/baba/sekuru/ iwewo chitotangira ipapo.

______________________________

Kune vanhu vakawanda chose mazuvano vanosangana mugwendo vagozodanana nguva refu. Vamwe vavho vanoroorana. Asi vanhu verudzi gwedu tichiri kuda kuona UNHU pamunhu kuti tizive kodzero yake pakuti anoroorekana naye here. Vanhu vakawanda vanombosiya unhu kana vari pagwendo. Bodo. Ndipo pauntokwanisa kusangana nevanhu vakakwana chose zvokuti waitozviwanira munhu wekudanana naye.