Thursday 22 May 2014

Muroora mutsva navamwene

Vamwene munhu akakosha chose. Vakawanda havakwanisi chose kugarisana navamwene. Ukaverenga mwadhi dzinosvika mubhokisi rangu unotoona kuti shuwa kune varoora vakawandisa vanofunga kuti vamwene munhu wekutogara kure naye. Kune madzimwenewo vanoshungurudza varoora vavo asi kazhinji muroora ndiye anozviita mazvikokota wepamusha paawana pane vanhu kare. Pane nyaya dzinoda kuhwisiswa usati watanga kugara omurume wako mutsva. 

Ukatarisa paBhaibheri zvakataugwa naMWARI muna Genesis 2 ndima 24 zvakahi MURUME achasiya vabereki vake onamatirana nomukadzi wake vaviri voita nyama imwe chete. Mutemo wakapiwa vanhu pakutanga kwemitemo imwe yese.Takadaro tosvika mubhuku raMatiyo 19 ndima 5 tinohwa Mwanakomana otaurazve nyaya iyoyo achishandisa mashoko iwawozve. Tobvapo tosvika mubhuku raVaEfeso muparidzi Pouro otaurazve nenyaya iyoyo achishandisazve mashoko amwewo.

Zvino isu kurudzi gwedu tinoti mukadzi ndiye anosiya vabereki vake otevera murume  wake. Ukazvitarisa unoona kuti ndipo panobva kunyongana ipapo. Kubatana kwamai nomwanakomana wavo kunonetsa kubvisa kuzhe kwekuti iye ega azvitaurira kuti akura saka avakuda kubva pamusha kuti anovaka musha wake ega nomukadzi wake.

Iwe somuroora ukasvika pamusha wemurume ukawana mai vake vachimubikira musi wekutanga chaiwo munopokana chero zvenyu musingaudzani kuti mapokana. Mai vanoda muroora asingavataridzi kuti basa rese ravanga vachiita kwemakore avakarera mwana wavo rasvika parinoperera nokuti mukadzi wake avapo anozvikwanisa. Hakuna munhu anoda kudzingwa basa. Mai vake vachazama kuchengetedza basa ravo nomoyo wose iwe uchizama kuvatorera basa iri nomoyo wose. Saka mungasapokana sei?

Chikuru kutaridza rudo, Rudo gunokangamwira zvakaipa zvinoitika. Chero ukatukwa, chero ukapopotegwa, chero ukaramwigwa zvawabika kana kuudzwa kuti hazvinaki, usaora moyo kana kutaridza kutsamwa. Kumbira ruregerero chete wowedzera zviito zvakanaka kwavari. Usakangamwa kuti vanenge vachikutesita kuti vaone LIMIT yako futi.

Kuzvininipisa uchiziva chinangwa chako chinhu chakakosha. Kana vakakuti ita ichi kana icho, bvunza kuti chinoitwa sei, chero uchitochigona bvunza maitire vakuudze maitire avo ivo.

Wapedza bvunza kuti waita zvakanaka here? Wadaro nyora maitire avo pasi kuti musi wavanouya kumba kwako uvaitirezve saizvozvo. Kutaridza kuda kudzidziswa chinhu chikuru chinovapa basa idzva rokudzidzisa kuti ruzivo gwavo guite segune basa. Muroora anoti asvika pamusha oda zvokutaridza kuti anogona ichi neicho hakuna kwaari kuenda nomurume uyu. Vamwene munhu anofanira kubatwa noungwaru kuitira mberi kana uchida upenyu hwakareba nomwana wavo.

,Kuzviitamwanakwavari.
Mwana haapinduri mubereki pakutsamwisana.
Mwana anokanganisa mubereki haakanganisi. Hwisisa PSYCHOLOGY yacho.
Mwana anokumbira ruregerero, mubereki anoregerera.
Mwana anotevera zvido zvevabereki mubereki anotungamirira mwana.
Mwana anodzidza, mubereki anodzidzsa
Mwana anobvunza, mubereki anopindura.
Kana musi wamune mufaro nemerana navamwene vako pane vaenzi kuti vaite manyawi newe.
Hwikwa uchitaura kuti wadzidza zvakawanda kubva kuna vamwene vako.

“Mai musandirega ndichiita zvandakaita paya pakauya Mbuya Mai Nhingi pandakatadza kuita chokuti nechokuti. Dai mange musipo ndaitoshaya chokubata nokusaziva. Kana ndava neimba yangu motogara pedo nefoni ndigopota ndichibvunza.”

Kutaura zvakadai shamwari dzavo nehama dziripo kuti vahwe kudadiswa nokudzidzisa muroora wavo. Taridza kufara kuti una mai vanogona kuva mai. Hazvinei kuti wakadzidza kana kuti mai vako vokubereka vakakudzidzisa zvese izvi nyebera kuti wange wakangamwa.

Vamwene vakagwara pamusha hwisisa kuti ndiwe munhu wokutanga anofungigwa uroi saka kana wange uchizviita mazvikokota wepamusha hakuna anokununura. Kana wange uri munhu akazvininipisa, vamwe vepamusha vanokubatsira. Iwe muroora chiona kuti wotomiramira kuita nesi wavo kusvika vava nani.

Mai vemurume munhu wekushamwaridzana naye nomoyo wose. Unovabvunza zvinhu zviri SECRET kuti vaite shamwari yako yepamoyo. Unoterera zvavanokuraira kuti ugare uri mwana wavo. Kana ukatukana nomurume wako, enda unobvunza mai kuti zvoitwa sei asi vaudze kuti mwana wavo unomuda, unomukudza, unoda kuti afare mumba. Kana muchida kuronga mhuri yenyu enda ubvunze vamwene kuti zvaunofunga ndizvo here. Hwisisa kuti ndivo vachashusha mwana wavo kana wanonoka kuita mimba. Hwisisazve kuti vanoda kuziva kuti mwana wavo anozvarisa here, sezvinongoitawo mai vako kuda kuziva kuti uchaita mimba riini. Rega vakupe mazano.

“Mai mungandibatsirawo here kufunga. Ndaitaura nomurume wangu kuti dai tambomira kuita mwana kusvika ndapedza kosi yandiri kuita inopera gore rinouya. Tipeiwo mazano nemafungire enyu. Mari yatinokwanisa kuwana haikwani ini ndichiri kuchikoro.” 

Unobvunza muri vaviri chete pasina umwe munhu. Unohwa vokutaurira zvakadzama zviri mufungwa dzavo nokuda kwekuti wataridza kusununguka kuvabvunza OPINION yavo panyaya dziri Intimate.

Bvunza mafungire avo pazvinhu zvinovaka musha. Kana ukatsamwisana nomurume, Bvunza vamwene nechibhende kuti woita sei. Chero uchiziva zvokuta bvunza chete. Vanokuudza mafungire avo. Kana magadzirisana vaudze kuti Advice yavo inoshanda.

Wana mukana wekuudza vamwene kuti murume wako unomuda zvisingaiti. Bvunza mai vake zvinhu zvanodiwa nomurume wako.

Mai ava ndivo KEY yokumhuri yese yemurume wako. Kana ukahwisisana navo watova munhu anogamuchigwa kwese. Svika pakuti kana pane vanhu iwe navamwene munokwanisa kungotaurirana nemaziso chete pasina shoko rabuda muchihwisisana nokuti munozivana. Kwese uko kune dzimwe hama kunosvikwa nomuna vamwene.

Chikuru chinokanganisa ukama kuonekwa somunhu anodada kana kuzviona souri pamusoro pavo. Kudzidza pa ACADEMIC EDUCATION hazvirevi chinhu kana usina kudzidza pa SOCIAL EDUCATION. Kana uri munhu uya anofunga kuti vanhu vakuru vese havana kuchenjera sewe uye vanhu vasina kudzidza vanotarisigwa pasi, uchagara upenyu hune matambudziko. Munhu akadzidza munhu anokwanisa kuita naya nevanhu vakawanda kupfuura asina kudzidza, uye kutaudzana nevana vadiki, vanhu vakuru, vanhukadzi, vanhurume, chembere, vadhara, hama, shamwari. Kudzidza chinhu chakanaka chose asi ukasachibata zvakanaka chinokuitira chinhu chakaipa. Hwisisazve kuti mai ava ndivo vakaita njere dzokudzidzisa iyeyo wauri kuti murume wako. Chivapawo rukudzo pane zvavakakuitira.

Ndichadawo kumbotaura naana vamwene pakugamuchira varoora vavo. 

Udzai Vamwe!!!!!!


Sunday 18 May 2014

Vabereki Pamusha peVana vakaroorana

Toda kumboongorora nyaya yokugarisana nevabereki vemukadzi kana kuti vemurume mese muripo pamusha pamwe muri kumusha pamwe muri mutaundhi pane imba imwe chete. Mitemo yokugarisana inofamba sei kuti pasaita kupokana.

Chokutanga ngatihwisise kuti vabereki vavana vanoroorana mazuvano vabereki vava mumakore anongira kuma 45 achikwira. Tadaro tinoonazve kuti kune vanhu vanoroora nokuroogwa vava kumakore anoita 30. Ukatarisa varume vakashaikigwa nevakadzi kana kurambana nevakadzi ivo vava kumakore 50 kana kupfuura unoona vachitoda kuroorazve uye kuzvarisana. Izvi zvinoreva kuti vachiri kuvana mudzimba dzavo asi ivo vave nezvizukuru.  Ndipo panobva nyaya yese inokwanisa kutadzisa vanhu kugarisana nevana.


Kana mai nababa vako vakushanyirai, ngavashanye havo asi ngavazive kuti magarire apamusha wenyu anochinja kusvika vadzokera kwavo.


Tiri kuenderera mberi nenyaya yedu. Toda kuyananisa vabereki nevana pamusha. 


Vana vakaroorana vanovata sei uye vanoita ruzha pakuvatana sei? Ko ivo vaberekivo vakagara vhiki mbiri varipo zvinoita here kuti vahwkwe vachivatana?

Ndinhohwa vanobvunza vachibvunza kuti voita sei navamwene vasina hanya nokuti muroora anofanira kufadza murume wake mwana wavo. Vanongoona sokuti mwana wavo mwana mudiki asinei nezvokuti ane mhuri.

Vane zvokutaura taurai tihwe.