Friday 28 February 2014

Misha miviri, kumusha nokudhorobha

Kuroorana nemurume ane misha miviri, wekumusha newekudhorobha kune nyaya dzakawanda dzinoda kuti tese tidzihwisise kuitira kuti tisazoshupikana nadzo mberi uko. Ndichawana nguva yokumbodziongorora kuti vanowedzera vagozowedzerawo havo tambotaura.  Tinoda kuhwisisa kuti zvinoita here kuti umwe wenyu apedze nguva achirima kumusha umwe achishanda kudhorobha pagoshaya anohurira umwe pakati penyu.

Toti maroorana muchiri vanhu vechidiki vane miviri inodziya inoda kugaro kwizirana. Poitika kuti mune misha miviri. Kumusha kune minda inoda kurimwa nokuchengetwa, kudhorobha kune basa remurume rinodawo kushandwa kuti mari iuye mumba. Powanikwazve kuti mune mombe nezvimwe zvipfuwo zvisingakwanisi kusara zvega pamusha. Kana mwundhi ega achishaukadzi asingashandi kazhinji anohi chienda unochengeta musha, murume osara mutanda.

Vanhu vakadai vanosangana kupera kwemwedzi murume atambira ouya kumusha opedza weekend yese aripo odzokera kubasa vomirirazve kupera kwemwedzi. Ngationgorore nyaya iyi takasvinura maziso kwete kuda kunyeberana. Nyaya dzokuvatana idzi dzinonetsa kuti kana muviri ozvida fungwa inonetsa kuibvisa pazviri saka unongogarozvifunga kusvika wazviita. Kana murume achishanda paguta riri pedo, mukadzi anokwanisa kungokwira bhazi rinoita kana 5 Dollars ondovata kumurume mangwana odzoka hake kumusha. Mari iripo anokwanisa kuuya vhiki imwe neimwe. Hino kana murume achishanda kuHarare musha wenyu uri Zaka zvinonetsa kuti musangane. Mari yachozve inonetsa kuiwana.

Pakadai vakawanda vanongogara kwakasiyana voonana katatu pagore. Vanhu vakadai zvinonetsa kuti vasahurirana. Ndakambosangana noumwe watinoti muzukuru aishanda basa romugadheni kuHarare. Pakutaudzana ndakamubvunza kuti mhuri yakadii, zvikahi ndava nemazuva ndisina kuvaona asi tinotumirana tsamba nebhazi kubva ku Morgenster. Vange vatova votoda kusvika gore vasina kuonana. Ndakabvunzurudza ndikapedzisira ndangomupa mari yokuti andoona mukadzi nevana vake  yaaishaya yebhazi USD 18, ndokuzomutora nemota ndokunomusiya Masvingo isu todzokera kwedu. Izvi hazvina zvazvakabatsira nokuti akangonovaona kamwe chete. Ko mberi uko zvozodii? Hapana batsiro yatakapa ine musoro.

Munokwanisa kuita henyu misha miviri mugogara muchionana henyu kana mari iripo. Kana pasina idambudziko guru nokuti hazvigoneki. Ini sokuona kwangu kana murume achishanda basa rine mari isingakwani zvokuonana kakawanda (kaviri pamwedzi kana kupfuura) zviri nani vese vanogara kumusha vorima vachitengesa vachiwana mari yeshuga nesipo uku vachiriritira mhuri yavo pamwe chete. Kugara makasiyana kune zviedzo zvakawandisa zvinokwanisa kukuurayai mese.

Imwe nyaya inonetsa ndeyokuti kana munhu akatanga kuhura anokwanisa kumboita zvemakondhomu kwekanguva asi anozoti ajairana newaari kuhura naye vese vongozoisana vasina kondhomu. Pakadai panonetsa panyaya mbiri dzokuti chigwere uye mimba. Panokwanisazve kuita nyaya yerudo, yokuti uya wauri kuhura naye akatanga kukuda zvinokanganisa muchato wako. Iwewo ukatanga kumuda nokuti ndiye anogara pedo newe anoti ukamuti uya kumba anouya, zvinoita kuti usazoda wawakaroorana naye. Tinoona vakawanda vanopedzisira vodanana nomunhu waari kuvata naye kupfuura waakaroorana naya iri nyaya yokuti waakaroorana naye haapo panguva yokuvata saka COMFORT yese iri kubva kuhurekadzi/hurerume  riya. Miyedzo yabva pakugara makapatsana apa.

Murume ane mukadzi ari kumusha iye ari kutawundhi anoitamba sei nyaya yekuvata ega? Mukadziwo ane murume ari kutawundhi iye ari kumusha anoswera achishanda mumunda zuva richipisa kwasviba anozvibikira sadza odya ovata. Kupisa kwezuva kuya kunoitisa zemo asi apa haana wekuvata naye. Vanhu munoda kuti aite sei ega? Vanhu vaviri ava vese vane nyaya inonetsa kugadzirisa. Inongoda kuti vagare pamusha umwe chete. Zemo ukatotanga kutaurirana newaunoda kuti aripedze pafoni rinotowedzera nokuti unowedzera kumufunga.

Saka todii kana zvisingaiti kusiya musha wega uchienda kudhorobha kune murume. Zviri nani kuwana hama inozogara pamusha wenyu ichirima moitawo kaPROJECT kenyu kokutengesa zvirimwa zviya mogovana nehama iya mari. Mazuvano okuti kana madomasi chaiwo anotengeseka munhu akatowana 10 per day nazvo, itaiwo shungu muwane zvokuita. Monorima mese kana kuti mogara mutawundhi mese kuti muchembedzani muri vapenyu mumuchato wenyu.

Tinoziva kuti varume vemunyika yedu havaremekedzi vakadzi vavo asi nyaya iyi haisi yeremekedzo. Ndeyerufu noupenyu zvinobva pamagarire enyu. Vanazve vanofanira kukura vachikuonai mese baba nami kwete kuti baba vanoonekwa kamwe pamwedzi. Ugoti chauri kuzvarisira mukadzi wako vana chii?

Kugara takati uyu uko uyu uko zvakabva pavarungu vaitirambidza kugara nevarume vedu. Vaivaka dzimba dzainzi majaradha dzaingoti ziimba rimwe chete rakareba richienda uko, umwe noumwe mushandi opiwa ROOM yake imwe chete isingakwani mhuri. Kana woda mhuri wonoroora kumusha wosiya mukadzi wako ikoko. Hino mazuvano hatingagari saizvozvo. Tava pane imwe nguva ine kuhwisisa.

Kana zvazonyanyonetsa mukadzi ngaatsvakewo basa chero basa haro raawana kuti muwane mari yokubhadhara mushandi kumusha imi muchigara mese kunoshanda murume.


Ane zvaanofunga pazviri ngaafanonyora tihwe.

UDZAI Vamwe!!!

Saturday 22 February 2014

Chii Chinohi Rudo?

Mubvunzo uyu unobvunzwa nevakawanda chose zvikuru mazuvano, iri ngari yokuti mumhuri dzakawanda vana vava kukura vasingahwisisi kuti rudo chii nokuti ivo Havana kumboona rudo mumhuri dzavo. Ukaterera vanhu vachizama kutsanangura kuti rudo chii, uchahwisisa kuti rudo chinhu chinonetsa kutsanangura. Zvakafanana nokuti ukabvunza munhu agara muHarare kweguva yakareba kuti anokwanisa here kutsanangura kuti Harare chii chacho, anokwanisa kupedza zuva rese achitsanangura asi agosiyana noumwezve agaramo makore amwe chetewo. Kana chinhu chiri chinhu chakakosha serudo, hazvikwanisiki kuchitsanangura zvokuti vese vatereri vasare vasina mibvunzo. Chikuru ndechokungohwisisa kuti Rudo guriko muvanhu zvakangofanana nokuti Harare iriko.

Kuti tisapedza mwedzi wese tichizama kutaura nyaya iyi pano ndongoti RUDO kuhwa fungwa yako nomuviri wako zvichihwa zvakarerekera kukumbana noumwe munhu kuti muve pamwe chete nguva dzese.  Kana tichitarisa nyaya yerudo tinoona kuti vanhu kare vakaongorora vakaona kuti rudo chinhu chinoti chero munhu ane njere neasina njere vanoita zvakafanana kana vane rudo. Izvi zvakaitisa kuti vafunge kuti rudo hagusi mufungwa chete. Tikatarisazve mabhuku akanyogwa kare akaita seBhaibheri, tinoona kuti vanyori vaiona kuti rudo gunobata muviri wese nezviito zvako zvese.

Luke 10:27
'Love the Lord your God with all your heart and with all your soul and with all your strength and with all your mind'
Deuteronomy 6:5
Love the LORD your God with all your heart and with all your soul and with all your strength
.

Tinoona kuti pane zvaunoshandisa parudo zvinoti
  • ·         moyo,
  • ·         unhu
  • ·         simba
  • ·         fungwa


Moyo: Tinohwa vane rudo vachikasira kutaurira wavanoda wacho kuti ari pamoyo pavo nguva dzese. Isu tinoziva hedu kuti mumoyo mune ropa chete asi tozivazve kuti moyo ndichochinhu chinoti ukachikuvadza muridzi anobva afa. Moyo wemunhu uri panoda kuita pakati pemuviri. Kana uchiti unoda munhu nomoyo wese zvinoreva kuti munhu uyu ndiye ari pakati pemuviri wako, nezvese zvinoitwa nomuviri wako zvakarerekera pane zvinodiwa nomunhu waunoda.

Unhu; kuhi uri munhu hunge une rudo gwekupa vamwe vanhu. Mubhaibhiri chinhu chinohi SOUL kuva munhu mupenyu anofema ane muviri unoshanda  (LIVING SOUL). Kana wafa hauchisiri munhu ane unhu. Pano hatisi kureva UNHU sokuti munhu uyu ane unhu (This person is well behaved) Tinoreva unhu hwekuti uri munhu. Iko kuva munhu kwako ikoko ndiko kunohi ukushandise kuda vamwe vanhu.

Simba: Vanhu vese vane samba rokuita chimwe chinhu. Zvinohi shandisa samba rako pakuda umwe munhu. Rudo gwako ngaguve nesimba zvinoreva kuti gunoonekwa zviito zvago. Rudo hachisi chinhu chaungaita chigova chakavanda iwe usingachizivi. Kana une rudo gunoita samba pauri rokukukurudzira kuita zvinhu zvawange usingafungiri kuita.

Fungwa: Fungwa dzako dzese dzinozara rudo chete. Unokwanisa kutorota rudo gwako nomunhu waunoda. Unokwanisa kuti uri kumba, kubasa, kochikoro mubhazi, kana pese paunoita nguva isina zvauri kushanda, fungwa yako inozara rudo gwemunhu waunoda. Hapana zvimwe zvakawanda zvaunokwanisa kufunga zvisinei norudo nomunhu waunoda. Unokwanisa kuti uchida mukomana unokwanisa kurota masikati chaiwo zvokuti unokwanisa kugwadziwa moyo nokuti wava nenguva usina kuona mdiwa wako kana kuhwa ihwi rake muzheve yako.

Tichibatanidza zvinhu zvina izvi tinoona kuti ndizvo zvakavaka muviri wako wese kuti uzohi uri munhu.  Saka apa zviri kuhi zvese zvinodiwa pakuva norudo.

Kusiyana kwerudo:
Kune vanofunga kuti marudzi erudo akasiyana. Kunoti rudo
Gwemukadzi nomurume: gunohi gunofanira kuvapo kusvika vafa. Hagufaniri kuperera pazhira muupenyu hwavo.

Gwemukomana nomusikana: gunoti vanokwanisa kurambana vondonyengana nevamwevo, vovadazve, kusvika vawana wekuroorana naye.

Gwemwana nomubereki: Mwana anoda mubereki wake zvakadzika kusvika azowanawo umwe munhu wekudanana naye obva adanana naye zvakati siyaneyi nezvaaita mubereki.

Gwemubereki kumwana: Haguperi kusvika mubereki afa. Hazvinei kuti mwana aitei, mubereki wake anopopota hake asi anongoda mwana wake. Vabereki vakawanda vanoshaya hope kana mwana ari padambudziko, iri ngari yorudo.

Ini kuona kwangu Rudo gumwe chete zvokuti kana uchida munhu unomuda zvakafanana  zvine zvinhu zvina izvo zvatataura kare. Chinongozosiyana pakufambisa rudo gwenyu kuchengeta mitemo youpenyu hwevanhu. Imwe yemitemo iyi inochengetedza upenyu hwedu tese.

Sokuti mutemo wekuti usavata nomwana wako kana mubereki wako. Mutemo uyu mudiki pane RUDO. Unoda mubereki wako chose asi kudanana kwenyu kunotevera mutemo zvkuti haumbofungi kuvata nababa kana mai vako. Rudo guri pamusoro pezvokuvatana.

Poitazve mitemo youpenyu hwako nehama dzako dzakaita sehazvanzi, tete, sekuru, babamunini, babamukuru, mainini, maiguru.  Mitemo yese iyi iri pasi peRudo. Unovada hako asi hazvinei nezvimwewo zviitiko zvepamusha.

Kozoti rudo gwemukadzi nomurume. Kudanana kwavo kunoita vade kugara vese upenyu hwavo hwese asi vasiri hama. Pobva paita mitemo yokugarisana kwemukadzi nomurume iri pasi perudo inoti vanovata vese, vanochengeta vana vavo vese, vanogara pamusha wavo vese. Rudo guri pamusoro pezvese izvi.

Rudo gwakaita sokuti ukatora masvosve akawanda womaisa mubhora (football) wosiya pane buri. Masvosve akagara mubhora iri anongochengetedza magarire awo nemitemo yekugara kwemasvosve. Isuwo vanhu tiri kukati merudo tichigara tichichengetedza mitemo youpenyu hwedu.  Rudo ndigumwe chete gunoitwa nenhengo ia idzo dzataongorora. Toti Harare rudo, iwe unokwanisa kugara kuHayi Firidzi, kana kuMt Pleasant, kana kuHighlands kana kuMbudzi. Pese pawagara une maonere ako ekuti Harare yakamira sei asi pane umwe ane MAP yese yeharare anoina sezvairi. 

Rudo hagusi pachombo chomurume kana chitubu chomukadzi. Rudo handi kuvatana. Rudo handi kukisana kana kubhabhadzirana magaro. Rudo handi kutengerana zvinhu nokufonerana kana kunyorerana tunhu tunonaka kuverenga. Bodo. Zvese izvi munoita nokuti mune rudo kare. Zvese izvi zvinogoneka kuitwa nevasina rudo zvachose.

Murume anokwanisa chose kukupinza chombo agokurhoja zvaunofunga kuti zvinonaka asi asina kana rudo pauri. Apedza anotokuudza kuti chipheka ndikuendese kumba kwako.

Mukadziwo anokwanisa chose kukuvhurira makumbo agokuitira chikapa agodembademba muchipanana zvinonaka, asi adaro agokuudza kuti i ten dollars.

Murume/mukadzi anokwanisa kukutengera zvinhu nokukubhadharira rent asingambokudi
Mukadzi/murume anokwanisa kukufonera nokukurezva pafoni asi rudo asina.

Saka tanga wahwisisa kuti rudo chiiko uye uyu munhu wawada kupa rudo anokwanisawo here kukupa rudo.
Rudo tinodzidza nezvago munhuri dzedu kubva tiri vanana. Kana munhu akakura asingapiwi rudo nevabereki vake zvinomunetsa kuzokwanisa kupa umwe munhu rudo akura. Paya tichitarisa nyaya dzokunyengana tinoona kuti vanhu vakawanda mazuvano vari kutarisa kuti munhu ane mari here. Zvokuti ane rudo here zvava kure.

Tinoonazve kuti mumhuri dzakawanda vabereki vakapera nechakapedza mbudzi vakasiira vanhu vana vekurera. Vana ava vanokura vasina anopa rudo asi zvavo vachidya vachiguta nokupinda chikoro. Iwe kana wonyengana navo chitanga waongorora kuti munyuu uyu anohwisisa zvokuti rudo iCOMMITTMENT yeunhu hwake hwese here kana kuti anongoti ndezvechombo/chitubu.
Ukahwa mukomana/musikana ava kukuudza kuti anokuda, kumbira kuti atsanangure kuti
  • ·         Anoziva sei kuti anokuda
  • ·         Chii chaanokudira
  • ·         Zvakatanga sei kuti akude.

Usamupindura kusvika apedza kukutaurira. Zvadaro chiongorora wea kuti nyaya yake yakarerekera pazvinhu zvina zviye here kana kuti pakuti akakuona nemaziso iota ruchiva gwekuda kuvata newe nokuti une magaro, mazamu, chiso, makumbo akanaka, kana kuti anofunga kuti une mari, mota, mombe, bhizimisi, zvinoonekwa sokuti zvingamusimudzira muupenyu.

Rudo chinhu chakakosha chose mumba. Rudo haisi Phylosophy kana kuti IDEA, kana kuti THEORY. 


Udzai Vamwe!!!

Saturday 8 February 2014

Nyaya dzokuroya kwevaroyi

Panyika pano mupasi rese munyika dzese kune vanhu vanohi vanoroya. Vakawanda vavo vanhukadzi asi kune varumewo vanohi vanoroya. Kuroya nokuroyana inyaya inoitika zvikuru munyika ine vanhu vatema  asi kuvarungu nemaIndiya nemaChaina zvirikovo hazvo. Kunyika dzevatema zvakawandaisa. Pari zvino kunohi nyika inohi Haiti ndiyo iri mberi pakuroya.

Kwedu kuZimbabwe kunohi kune varoyi munzwimbo dzakawanda dzenyika yedu. Ukaterera zvinotagugwa nevanoziva nezvekuroya unohwa vachiti varoyi vanobva kure nekwaunogara ndivo vanoroya zvakasimba. Kana uri kuMasvingo vanhu vanohi vanoroya chose ndevekwaMutare. Kana uri kuHarare, vekuMasvingo ndivo shasha dzekuroya. Kana uri kuGWERU, VekuKaribha ndivo vanoziva basa. Takadaro vanhu vekuMalawi vanohi vanoroya chose. Handinawo kumbohwa munhu wekuMozambikwi kuhi vanoroya.

Saka kuroya kuita sei?
Vanohwisisa nyaya dzekuroya vanokwanisa kukurondedzera nyaya dzinotoda vanhu vane maDhigiri ezve Remote Control Technologies kuti uzvihwisise. Nyaya dzavanokurondedzera dzinoda vanhu vanonyora mabhoku aya anohi SCIENCE FICTION. Unoterera zuva rese uchibvunza mibvunzo asi zvinonetsa kuti uwane mhinduro dzakakwana. Unohwa munhu achikuudza kuti nhingi akaroiwa nanhingi ndokubva afa. Ukabvunza kuti pakuroya kwacho chii chakaitika chaicho, havadi kukuudza asi kuti iwe nyakuterera vanoda ungobvumirana navo kuti munhu akafa nokuti akaroiwa.

Kune vamwe vanofunga kuti kufamba usiku usina kupfeka zvoreva kuti uri muroyi. Tikaongorora nyaya iyi tinoona kuti vanoona sokuti kufamba usiku usina kupfeka handiko kuroya kwacho asi kungoti zvinoreva kuti uri kuroya. Sakai we nokuda kuhwisisa ukazobvunza kuti saka pavanofamba vasina kupfeka apa vaofamba vachiiteiko? Hauwani mhinduro yakakwana.  Ndakaudzwa nomurume anobva kuNigeria kuti vanofamba vasina hembhe kuti vakwanise kudya mitumbu yevanhu vakafa. Ndikati ko kana munhu afa iwe uchida kumudya, kufamba usina kupfeka zvinokubatsirei pakudya?  Zvikahi “Kana uchidya nyama yemunhu, unofanira kudya usiri munhu kwaye dzisaka vachifamba vasina kupfeka.”

Kana ariwo mafungire evanhu vasiri varoyi, zvinotaridza kuti kuona kwavo hakuna kukwana nokuti havasi kunyatsokwanisa kupindira mibvunzo.

Koitazve vamwe vanofunga kuti varoyi vanhu vanokwanisa kubhururuka vakagara murusero vakatakura zvinhu zvokuroyesa nazvo. Ukabvunza kuti rusero chinhu zhakakura Seiko chinokwanisa kutakura vanhu vaviri kana vatatu uye chigokwanisazve kubhururuka chisina injini chichienda kunodiwa kuendhwa nomuroyi wacho. Kune vanhu vakawanda vanofunga kuti muroyi munhu anokwanisa kuita chero chaada kuita chisingagonekwi nevanhu vasiri varoyi. Ukafunga kuti mudenga mune mhepo inotonhora zvokuti munhu anofanira kutenge akapfeka majasi anodziya cose, asi muroyi anohi anotokumura hembhe dzake obhururuka asina kupfeka.  Pakubhururuka apa haana kamuchini kaya kokutaridza kwaari kuenda asi ipapo usiku. Haana magetsi, haana chinoratidza kuti ari mudenga zvakadii chinohi pachirungu ALTIMETER. Haanazve chinoratidza kuti ari kumhanya zvakadii chinohi SPEDOMETER.  Zvinotaridza kuti varoyi vanhu vakachenjera chose chose kupfuura vanhu vanobhururusa ndege.

Tadaro tobvunzazve kuti kubhururusa rusero usina kupheka usiku ndiko kuroya here? Vanopindura vote kwete. Kubhururusa rusero kungotaridza kuti unogona kuita zvisingagonekwi nevamwe uye zvinoitwa muroyi ari muzhira kuenda kundoroya kwacho. Saka kana asvikako achaitei chinohi ari kuroya. Tinohwa zvohi anopinda muimba yakakiiwa nomukati obva aroya. Chibvunza kuti ava mukati memba anoitei chinohi aroya. Ndipo unoudzwa nyaya dzisingahwisisiki nomunhu ane njere. Kwahi anokurhoja uvete kana kukutaudza uvetekana kukutema nyora uvete.

Pazvitatu izvi zvinoti kurhoja munhu avete, kutaura nomunhu avete kana kutema nyora munhu avete, zvinoita sokuti wapedza nguva uchigadzira zvinhu zvakawanda kuti usvikoita chinhu chisina mature. Kupedza vhiki yese uchiruka rusero wodzidzira kubhururuka pamwe uchimbobondera pamiti nezvimwe, pamwe uchimborasika, pamwe uchishaya pekumhara, zvese izvi kuti usvikorhoja munhu wausingazivi asi vaunoziva vanoda kuvata newe vasina avarhoja zvine musoro upi izvozvo?

Zvikwambo
Koitazve vanhu vanohi varoyi nokuda kwekuti vane zvitokorochi/zvikwambo. Ukabvunza munhu anoziva nezvezvikwambo kuti chikwambo chiiko, anokuudza kuti chinhu chakaita somunhu asi chisiri munhu uye chisiri mhuka. Chinokwanisa kudhiraivha bhazi, rhori, chitima, mota, kana ndege. Chinokwanisazve kupinda mubhangi chichinoba mari chichipa muridzi wacho.  Chinodya zvokudya zvinonetsa kuwana zvakaita seropa romunhu kana kuti mukaka wemunhu, kana poriji.  Chinokwanisa kurova vanhu vasingawirirani nomuridzi wacho, uye kurhoja vakadzi vevanhu muraini. Zvinohi hakuna chikwambo chechikadzi. Zvikwambo zvese zvirume. saka hakuna chikwambo chinovata nomurume wemunhu. Kune zvinovata nevakadzi vevanhu chete.

Kushata pameso kana muviri
Kana uri munhu akashata pameso vanhu vanokasira kubvuma kuti uri muroyi kana murume wako avaudza kuti uri muroyi. Zvimwe chetezvo kana uri munhu akakoresa. Zvinohi kudya nyama yomunhu zvinokodza  vadyi vacho saka munhu akakora anobva ahi akodzwa nokudya vanhu. Iyi inyaya inonetsa chose nokuti inongowanikidza vanhukadzi. Murume akaita zidumbu risingaiti anohi munhu webhizimisi, asi mukadzi akakora kohi adya nyama yomunhu.

Zviitwa zvevaroyi:
Totarisazve zviitwa zvevaroyi tinoona kuti pamagarire edu panofanira kuti munhu umwe noumwe adzidze zvinohi TRANSFERABLE SKILLS. Muroyi munhu anofanira kuti ange achiita mabasa anotaridza zvinhu zvavanogona kuita.

Takaita makore anoda kusvika gumi nyika yedu ine vanhu vaida kubudamo asi vachishaya kuti vobuda sei.  Kwaifanira kuti vanhu vanogona kubhururusa rusero vange vachiyambusa vanhu vakawanda usiku humwe nohumwe vachivaendesa kuSouth Africa, America, Canada, Australia, UK, Germany, France, China, pasina kana passport kana Visa. Asi tinoona kuti pamakore ese awa hapana munhu umwe chete akambohi anoyambusa vanhu. Vanhu vaingodyiwa nengwena paLimpopo apo kuri kushaya anovabatsira. Asi muchaona kuti kuchaita umwe munhu anozviti muporofita achatanga basa iri vanhu vachimupa mari asi pasina waanoyambusa. Kupusa kwevanhu vemunyika yedu hakuperi. 

Toonazve kuti vaMugabe avo vaitukwa nemhomho yese kuti havagoni kutonga nyika, hapana akambofungavo kupinda mumba mavo usiku kundovataudza vavete kana kuvatema nyora. 

Koitazve umwe mudhara anohi Jonathan Moyo aitukwa nokunyombewa nevanhu vakawanda chose asi tinoonazve kuti hapana akafunga kupinda mumba make usiku nokumurhoja nokumutema nyora nokumutaudza ari kuhope.

Zvinhu zvakadai zvinotiratidza kuti vanhu vacho vanogona kuroya njere chaidzo Havana kana kuti hakuna munhu anogona zvinhu zvatinofunga kuti zvinoitwa nevaroyi. Rudzi gwedu ndegwevanhu vanofarira chose kuudzana nhema pazvinhu zvakawanda zvatisina ruzivo nazvo. Saka tichizoona kuti vamwe vedu vakayambuka gwizi gweruzivo, vanotanga kubvunza mibvunzo yakawanda panyaya dzakaita seidzi nokuti vatsananguri venyaya idzi vange vagarisa vachiudza vanhu nhema pasina anobvunza kuti zviri kufama sei.    

Tinoonazve kuti kune varume vanoramba vakadzi vavo vachiti nokuti mukadzi anoroya. Ukaongorora kutyisa kwekuroya unoona kuti dai murume aitofunga kuti zvechokwadi mukadzi wake anoroya aibva atotadza kumuramba nokuda kwekutya kuroiwa naye. Asi tinoona vakawanda vanorambwa vachingoenda pasina chinomboitika kumurume uya amuramba.  Kunongozotiwo varume vati kurei vave kutadza kumisa chombo ndivo vanozopomera vakadzi vavo vavakaramba mhosva yokuti ari kumuroya kuti asamisa chombo. Kuri kutya kuenda kumurapi kunorapiwa pazviri.

Nyaya dsese dzinotaugwa pakuroya nevaroyi hadzina kuti tasa. Hakuna  munhu anobvunza mibvunzo yakakodzera angapindugwa zvakakodzera panyaya idzi nokuti hakuna munhu anoziva kuti chii chinohi kuroya. Vese vanotaura nezvazvo vanongotiudza zvinhu zvisina kana musoro. Unotoita sewakaterera chimwana chiri muGrade 1 chiri kudzidza kutaura ngano.


Ukahwa murume wako ava kukuudza uroyi, chibva waziva kuti haachakudi zvachose asi haana chinhu chaanokwanisa kukupomera kuti ndicho chawakaita. Zvadaro tora twako uende kwenyu nokuti murume haachakudi. Kazhinji ava nehure raava kuvata naro zvokuti iwe hauchina chaungaita ukabuda uri mupenyu pazviri.  Kuudzwa uroyi zvinoreva kuti murume akufungira rufu. Chibuda uri mupenyu.

Nyaya dzinotaugwa nezvikomana zvomuGrade 1 zvichigocha maputi.

Muporofita abigwa mari nechikwambo

Nyoka yawanikwa mumota

Mwana akachinja kuita nyoka

Nyaya dzakadai wega kana une makore anopfuura 6 unongoona kuti dzinonyogwa nevanhu vasina zvimwe zvine musoro zvokuita. Ukahwa munhu mukuru achidzitaura chiziva kuti njere dzake ishomanana. Hakuna zvakadai zvinokwanisika kuitika.


Bvunzai Vamwe!!!!
kuita sei kuroya?
Muroyi chii?
Ndingadzidzirepi kuroya?
Mukadzi wangu muroyi here?

Murume wangu muroyi here?
Ndiri kuroiwa nani?
Ndingaziva sei kuti ndaroiwa?
Ndakadyiswa here?