Saturday, 19 January 2013

Kusimbisa mazamu

Mazamu   (Toning your breasts) 

Our Species is Named after the Breast. Mammals. So these are very important things on many levels. Look after the breasts


Munhukadzi gara uchizivawo kuti mazamu ako anotariswa nevarume kakawanda pazuva. Murume akaona munhukadzi anotarisa pameso, otarisa pamazamu, otarisa magaro ozopedzisira nokutarisa makumbo. Adaro oenda hake kwaanoenda atozviudza kuti mukadzi waatarisa akanaka here kana kuti akashata. Murume wako anokutarisa zuva nezuva sezvaanoita vamwe vakadzi vemuraini. 

Zvino kana iwe uri munhu wechidiki toti unemakore ari pasi pe 45, (ndiri kuti 45 nokuti munhukadzi wekuAfrica anokwanisa kuita mwana kusvika makore awa) zvinoreva kuti muupenyu hwako uchineshungu dzokuonekwa uri munhu anoyevedza kutarisa.  Mazamu anoonekwa kufuta pachifuva chero mutarisi ari kure kure. Anobva atoziiva kuti uri munhukadzi, chero usina kupfeka dhirezi musi uyu. Saka mazamu ndiyo IDENTITY yedu isu vakadzi nokuti hatizi tese tine vhudzi rakareba uye vamwe havapfeki dhuku mazuvano.

Mazuvano kune mapfekero okuti mazamu aite sokubudirira asi chinonetsa ndechokuti ukajaira kudaro unopedzisira wava kuonekwa nevamwe vanhu somunhu ane mazamu akanaka asi murume wako anokuona usina hembhe anoziva kuti mazamu ako haana kudaro. Panoo tinoda kuhwisisana panyaya yezvinoonekwa nomurume wako wemumba. Ndiye munhu akakosha kuvarume vese nokuti achakuona muviri wako upenyu hwako hwese.

Chokutanga kuziva ndechokuti munhukadzi ngaasaita mazamu akarembera somuswe wemombe. Mazamu ngaaite kumira akatarisa mberi seemhandara, minyatso yakatarisa mberi. Chinonetsa kudaro ndechokuti mazamu ane basa rakawanda rinoti:
Kumwisa mwana mukaka
Kupa muridzi runako nokunyemudza vanoda kunyenga
Kupa muridzi Balance pakufamba
Kupa muridzi zemo kana awanikwa nomurume
Kutonhodza hana yemurume pakuvatana

Pakumwisa mwana apa ndipo paanoremegwa nomukaka obva atanga kurembera otarisa pasi. Kune vamwe vanomwisa mwana gore rese saka mukaka unenge uchirema urimo. Hazvina kuipa kumwisa mwana hazvo. Ona kuti mazamu haana kugara akaremegwa nomukaka wemwana. Kana mukaka wakawandisa pota uchizvikama uchitapudza. Chero mwana achiwana wakakwana. Kuno unokwanisa kunopa zvinherera zvokuhosipitari mukaka. Ndofunga kunyika dzakawanda vanodaro chero munhu wacho anouya nawo asina zvigwere. Kana wapedza kumwisa mwana chizamawo kugadziridza mazamu ako.

Saka pano ndoda kumbotaura nezvokuchengetedza mazamu nemamirire awo pachifuva chako. Chokutanga ndechokuti munhukadzi wese wese anohwisisa zviitiko zvepanyika pano anozama kugara anoutano hwakakwana mumba make. Ukatanga kugwara ukaita nguva yakareba uchigwara, watoisa mhuri yese padambudziko guru. Mai vemba munhu akakosha ane mabasa akawanda asingakwanisiki kuitwa noumwe munhu. Saka chokutanga kuziva kuchengetedza utano hwemuviri wese.

Kana ukakoresa ukaita chidumbuzenene, mazamu anonovata pamusoro pechidumbuzenene chako ichocho semabwe ari paruware gwemutserendende. Hapana chinoonekwa nevarume chichiyevedza ipapo. Kana murume wako wemumba haawani chakanaka ipapo. Ndipo paunozoona kuti mukadzi mukuru anotanga adzima rambhi ozobvisa hembhe kuti murume wake asaona muviri wake.

Munhu akakoresa unoona kana mafambire ake kuita sedhadha roda kudzidza kubhururuka, uku maoko akasimudzwa nemafuta emuviri. Unomuhwa kufemereka ari kure kure uko. Ukagara pedo naye muchitima anenge achingobudisa mweya vanhu vachinhuwigwa. Chifunga murume wake anoita 8 hours pazuva naye. Anodii naye?

Kana ukaondesa, mazamu anosvava kuita semufushwa wemadindindi. Chero murume anga achikudawo sei panosvika pamwe pekuti anotadza kuhwisisa kuti munhu aita sei.

Vanhukadzi ngatidzidze kuona BMI yedu kuti iri papi. Kana yapfuura 25 kana kuti iri pasi pe 18, ziva kuti yaipa. Kana mimba chaiyo unokwanisa kushipika kuibata nokuda kwekukoresa kana kuondesa.

Kana muviri wakanaka utano, mazamu anoonekwa akatsetseka ganda rawo uye. Chinongozodiwapo kuti agwinyirire.

Zvinogwinyisa mazamu:
1 Kudhidha: kudhidha chinhu chinokasirisa kugwinyisa mazamu asi asingaiti semasuru yemurume. Anongoita iya inonzi TONING zvisinei nezera rako. Chero wava munhu mukuru zvinoita. Vakawanda veduu havagarii pane madhidho saka zvinokwanisika kuvashomanana.

2 Kusundda madziro: Bvisa hembhe, womira pedo nomudhuri mumba (70 cm or so) wobata madziro wotanga kusunda sokuti uri kuda kusunda zvokuwisa. Ita 20 seconds uchisunda, wombomira wozunza zunza maoko. 10 seconds, wotangazve kusunda. Ramba uchidaro kusvika zvotanga kugwadza. Chirega wozoitazve imwe nguva. Ita izvi kaviri pazuva. Hazvitori nguva.

3 Simuka womira wakati twii, makumbo akaparadzana zvishoma.  Wadaro chizama kuti magokora ako abatane kumusana. Usaita zvokumhanya mhanya. Ita zvishoma kusvika wasvika paunogonera iwe. Ukahwa zvogwadzirira chidzoka kuno mberi. Wombomira 5 seconds, woitazve. Unofanira kuita kagumi mangwanani, kagumi manheri mazuva okutanga. Pota uchiwedzera kusvika pazvinotanga kugwadzirira.

4 Vhura ruoko gwerudyi. Woguisa pachifuva gwakavhirika zvokutii kana umwe munhu achida kukupa chinhu anokwanisa kuchiisa muruoko gwako. Wadaro chivhira gweruboshwewoguisa pane gwerudyi. Chitanga kusundanidza maoko Tanga kusunda, woverenga kusvika ku15, wombomira wverenga kusvika ku10, wotangazve kusvika waita ka 10. Wombomira wozoitazve manheru. Kaviri pazuva.

5 Chimwezve chinoitisa mazamu aoneke sokuti akanaka, mafambire ako. Kukubatsira kuwana mafambire akanaka, tora chimwe chinhu chinorema sokuti mugomo wemvura kana kuti chimwe chinhu chokudengezera. Ukaona munhu mukobvu, mutate, akadengezera chinhu, ukaona mafambire ake, ukamuongora, ukahwisisa kuti ndiwo mafambiire aunofanira kuita nguva dzese, unenge wahwisisa muviri wako zvese nemazamu.

Pakupedzisa
Vakadzi hatifambi mafambire echirume. Varume vanongofamba vakarengenyeka. Isu tinofamba mafambire edu akasiyana. Kusiyana kwawo ndikoko kwekuti famba somunhu akadengezera chimwe chinhu.

Jaira kumbofamba wakadengezera chimwe chinhu. Wadaro chifunga mafambire aunoita wakadengezera chinhu ichi. Ndiwo mafambire aunofanira kuita kana uchingofambawo zvako. Uchaona kuti chifuva chinenge chakabudirira, magaro ane BALANCE, Mafudzi akamirawo zvakanaka. 

Hwisisa basa remazamu pamunhukadzi. Simbisa mazamu agare ari iwo anotaura murumo usati wataura. Ukatarisa panosangana mukadzi ane mazamu akati twii nomurume ari kutsvaka, uchaona kuti murume uyu anozoona kumeso kwemukadzi aona mazamu kare, uye anoita nguva asingazivi zvokutaura, fungwa iri pamazamu chete. Ndosaka isu tine varume mudzimba tichikurudzigwa kusataridza mazamu kana tiri pane vanhu. 

Iwe wega ukaona wasvika pakuti murume wako akaona mazamu ako asina kupfekedzwa anoita zemo, ziva kuti uri kuita maexercise andanyora awa zvakanaka. Chirega kuonekwa nevamwe varume mazamu. Murume wemumba munhu sevamwe varume. Gara wakamufungira zvingamufadza. Hakuna mukadzi asingadiwo kuhi akanaka nomurume wake saka ngatitarise nyaya iyi isinganetsi kuwedzeredza pairi. 

Hakuna mushonga wekusimbisa mazamu unopfuura uyu. 
Famba wakadengezera chinhu chausina kudengezera. Kwedu ku Africa vakadzi tine magaro nemazamu makuru. Zvinoreva kuti kana orembera anonyatsorembera. Chengetedza muviri wako. KUKORA handiko kuratidza utano. Unoita BP ne Diabetes ne Heart Condition, uye unokasira kurega kuvata nomurume. Vanhu vane utano vanovatana kupfuura makore 65 ekuberekwa. 

Varume: 
Varumewo taridzai vakadzi venyu kuti kuva munhu ane BMI yakanaka chinhu chakakosha. Isu basa redu nderokufidha varume vedu. Tinokura tichidzidziswa kuti ukafidha murume zvakanaka anokuda zvakawedzera. Asi pamwe tisu tinouraya varume vedu nokuvakodza semombe dzemafidha. Varume hwisisai kuti pane CONFLICT OF INTEREST ipapa. Chisimuka uitewo zvokusimbisa muviri.. Murume ane zidumbu bodo veduwe.  Itawo murume akagwinya anotaridza utano. 95 kg yakawandisa pamunhu umwe chete. 


BMI For Adults

Tarisa Chart re BMI iri wotarisa panosangana Weight yako ne Height yako. Kana BMI yako yakapfuura pa 25 kana kuti iri pasi pe 17, unofanira kukasira kuichinja idzokere pakati penhambha mbiri idzi. Kana murume/mukadzi wako achifarira kuti unge uri kuzhe kwenhambha  idzi, ari kuda kuti ukasire kufa agowana umwe.

Zvimwezve panyaya iyi. 
Whisisazve kuti kune varume vasingadi mukadzi akanyanyonaka, kwahi anozonyengwa nevamwe varume. Kana une murume akadai, uchaonazve kuti haadi kuti upfeke madhirezi akanaka. Ukatarisa varume vakaita sevakatanga chipositori, vaiva nefungwa dzakadai asi ivo vari reza chaidzo pakuda kuhura, vobva vazvipa mukana wekuhura pasina anobvunza nokuudza vanhu kuti murume anokwanisa kuita vakadzi vakawanda. Uhwu ugino hwe zvinoitika panyaya yokuvatana pakati pemukadzi nomurume. 

Mukadzi anokwanisa kuiswa kana kagumi kana kupfuura pazuva. Murume ndiye ane dambudziko rokuti haakwanisi kungoramba achingomira chombo zuva rese. Mahure anokwanisa kuiswa nevarume vakawandisa pazuva rimwe chete. Izvi zvinoreva kuti kana mada zvokuwanza vanhu vokuvata navo, mukadzi ndiye anofanira kuva nevarume vaviri kana vatatu. murume hazvina zvazvinomubatsira kuita vakadzi vaviri panyaya yokuvatana nokuti haakwanisi kugutsa iyeye umwe chete. 

Kana une murume anoda vakadzi vakawanda ziva mumoyo mako kuti ari kuda kukuuraya uri mwana mudiki.  tarisazve mapositori uchaona kuti vakawanda vakaurayana nechigwere che HIV nezvimwe zvigwere, nengari yokusahwisisa. Mazuvano pavakazohwisisa nyaya idzi vakaita misangano vachikurudzirana kuderedza chihure, tinohwa kuti vafi vavo vakaitawo vashoma. Ngatitore chidzidzo ichi tikurudzirane kuderedza chihure vafi vedu vaite vashoma. 

Iwe chengetedza utano hwako chete paunogona napo. kana une murume/mukadzi akasvinura uchaona kuti anowedzera kuda kuvata newe.






UDZAI VAMWE!!!!!!!!!!!!
kubatwa mazamu



Thursday, 3 January 2013

Zvigwere zvechihure nezvomumba zvokuvatana

Usavata nomunhu wausina kunotesitiwa naye  ukaona mma RESULTS ake
Usavata nomunhu wawakambovata naye kare ndokubva mamboparadzana mukasazotesitiwazve mese
Usavata nomunhu waunoti kakaita mimba unoziva kuti haumudi.
Usavata nomunhu anosvodesa kutaridza hama dzako kana shamwari dzako.
Zvigwere zviri kuvanhu vemabato ese, vatete, vakobvu, vane mari, vasina mari, vanopinda chechi, vasingaindi chechi, vanogeza, vasingagezi, vatsuku, vatema, vese vese vanokwanisa kuva nezvigwere. Usaona akakora wofunga kuti haana HIV. Kana kuona akachekwa ganda rechombo wofunga kuti haana HIV. Hakuna zvakadaro.
___________________________________________________________________

Zvigwere zvechihure zvakawanda uye zvimwe zvacho zvinouraya. Zvimwe zvinogara mumuviri kwenguva yakawanda. Zvese hazvo zvinobatwa neanoda kuzvibata. hazviiti kuti ubate chigwere chechihure asingadi kuchibata.

Asizve kana uri mukadzi/murume wemunhu, unokwanisa kuchibata kana murume /mukadzi wako auya nachokumba. tinozviona mumapepanhau mu Zmbabwe kuti kune vakuru vakuru munezvehondo nezvematongegwe enyika vanozonzi nevakadzi vavo vakavapa zvigwere izvi, zvimwe zvisingarapiki.

Kana wazvipira kuroorana kana kungodanana nomunhu kusvika pakuvata mese, chitoona kuti nyaya yokuvatana iyi yapfumba kusvika pakusamboda kuzovata noumwezve munhu. hwisisa kuti chinonakira umwe wako chii ugogarochiita.

Ukaita mimba une chigwere, unokwanisa kuzvara mwana ane chigwere kana kuremara.

Hwisisazve kuti munhukadzi akamira sei pamuviri wake. uchaona kuti pamberi pake pane maburi matatu anoti tichibva kuno kumusoro kuguvhu, tinoona buri reweti rinobudisa weti ine zvarambwa nomuviri, zvinokwanisa kunge zvine majemhisi. Todzikirazve tosvika paburi rechitubu panova ndipo panopinzwa chombo nomurume.

Tichazoti dzikei zve masentimita matatu chate, tonosvika paburi rokumashure rinobudisa tsvina yezvokudya inenge yarambwa nomuviri.

Chimbofunga kuti buri raunoda kuti murume apinde iri riri pakati pemaburi maviri anobudisa zvinhu zvuneutachiona. Maburi ese awa ari pedo napedo zvokuti vakawanda havatomboone kuti akasiyana. Reweti nerekupinza chombo akatofukidzwa nematinji amwe chete kana ukasabhenengura hautombooni kusiyana kwawo.

Tikatarisazve tinoona kuti isu vakadzi tinofarira kuvhara panhu apa zvokuti pamwe mhepo haipindipo. Kozoitazve vamwe vedu vane magaro nezviuno zvikurusa kuwedzera kupisa kwe panhu apa. Hino nokudaro utachiona hwemuviri hukahwa kupisa hwotowedzera kuita vana. Kana une muviri mukuru uchidikitira pakati pemagaro, woitazve maromo makuru epamberi ugodikitira pamberi nepanechakafukidzabhinzi, wobva wati zvese mberi neshure kunodikitira konyorovera kuchidziya, icho chitubu chinyorowo futi chiri pakati, unofunga kuti utachiona hwunoendepi.

Kune vakadzi vakawanda vanoita zvigwere zvinoitiswa nokuiswa nomurume murume asina chigwere, asi kungoti pakupinza chombo opinza utachiona hwange huri pedo neburi. Kune zvigwere zvakaita se Cystitis zvaunozvipa wega nokuda kwekuiswa utachiona hwuri pedo.

 
  

Pakupisika: 
Tosotizve pakupisika paya, munhu dzidza kupisikira kumashure kure nechitubu. Pane 3 cm chete pakati pemaburi maviri awa kana usina kuita mwana. Kunozoti wazvara zvoti wedzerei. ukapisika usina kuchenjera unogarozviisa utachiona husirihwo.


Kuiswa kumashure
Koitazve vakadzi vane varume vanomboda kupinza kumashure. Kana une murume akadai kana iti iwe muridzi uchimbodawo kupinzwa kumashure, chenjere kuti musi wamunodaro usavhenganisa kuti kumashure wokumberi . kana wada zvokumashure chiita izvozvo chete, wada zvkumberi woitawo izvozvo chete. Kana wada zvokuvhenganisa, tangira mberi wopedzesira umashure. usapinza mberi chambopinda kumashura murume asina kugeza nesipo 

Kugeza musati mavatana
Vanhu dzidzaiwo kutomonovata fungai kuti umwe wenyu achadawo kumbonakigwa saka mese muchatovatana. Tangai mageza. tinoziva kuti dzimwe nguva kune DROUGHT kana kutimvura yakavhagwa. Munhukadzi gara une svimvura svako muchirongo kubhedroom nechidhishi, nezvitawero. Musi unohi magetsi adzima, mvura yavhara, kukangosviba vana vanokasira kuvata, mosvikako moitei? Munomboita nyaya mongozopedzesisa maisana chete. Saka tora kadhishi udire mvura svoma ugezese murume pamberi wozozvigezesawo, mopinda mumachira makagadzrira. Wadaro kwiranai henyu sharaude. 

Kugeza pamberi musati mavata zvakangfanana nokugeza maoko usati wadya sadza. hakuna munhu anokangamwa chinhu chikuru seichi. 


Kana kune shawa kana bvavhu pindai mugeze mopopomedza sipo pamberi ponaka. Hwisisa kut ukajaidza murume kumubata pachombo uchimbopurudzira, anojaira kubatwa ska anozokunonokera pakudiridzira urme zvoreva kuti uchanakigwawo. 

Raini rezvigwere

Sexually transmitted diseases

Reviewed by Dr David Delvin, GP and member of the British Association for Sexual Health and HIV
Unfortunately, in 2012 sexually transmitted diseases (STDs) have become more common in Britain than ever before. Last year, there were nearly half a million new cases of STDs reported from sex medicine clinics, with 427,000 being recorded from England alone.
This increase is undoubtedly because more and more people are having enjoyable, but sometimes risky, sex lives – often with several partners.
The highest rates are among young adults, aged 15 to 24.
What sort of diseases are we talking about?
Below you'll find a number of conditions that are currently being seen by NHS genitourinary medicine (GUM) clinics in the UK.
Please bear in mind that some of them (most notably thrush) may not have been acquired through sex.

Chlamydia

In 2012, about 190,000 people were diagnosed with chlamydia in English GUM clinics.
Many more were diagnosed by GPs or in community screening programmes.
Countless others have acquired the infection, but they do not realise it.
Chlamydia is the most common and fastest-spreading sexually transmitted disease in the UK. It's caused by a bacterium, Chlamydia trachomatis.
Unfortunately, many people (particularly females) have no symptoms at all. Where symptoms do occur, they may include pain in passing urine and a discharge. They usually appear approximately 7 to 21 days after infection.
Chlamydia can also cause a form of conjunctivitis in adults. Also, this eye infection may occur in the newborn babies of mothers who have chlamydia.

Gonorrhoea

In 2011, the incidence of gonorrhoeal infection (the clap) rose by an alarming 25 per cent in England. GUM clinics saw about 21,000 new cases of gonorrhoea in the year.
Gonorrhoea is caused by Neisseria gonorrhoeae, a bacterium that grows and multiplies quickly in moist, warm areas of the body – such as the cervix, urethra, mouth, or rectum. The cervix is the most common site of infection in women.
However, the disease can also spread to the Fallopian tubes and other internal genital organs, causing such conditions as salpingitis and pelvic inflammatory disease. These may lead to to infertility.
Gonorrhoea is most commonly spread during genital contact, but it can also be passed from the genitals of one partner to the throat of the other during oral sex.
Gonorrhoea of the rectum can occur in people who practise anal sex. In pregnant women, gonorrhoea can be passed from an infected woman to her newborn infant during delivery.

Genital herpes

In 2011, about 31,000 new cases of gential herpes were seen at GUM clinics in England. In addition, it is believed that some thousands of other people developed herpes but were not seen at a clinic.
Genital herpes is a highly contagious viral condition caused by the herpes simplex virus (HSV).
It infects the skin and mucous membranes of the genitals or rectum, but it can also appear in areas such as the mouth, particularly the lips.
Its chief symptom is an outbreak of small blisters, and these can be very painful.
It's transmitted primarily through physical and sexual contact. During birth, the presence of herpes simplex virus in the birth canal is a threat to the infant's life.

HIV and AIDS

In 2011, 5,600 new cases of HIV were diagnosed in the UK. This is actually a slight decline on the previous year.
There were 4,050 men, and 1,550 women. Also, an unknown number of people caught HIV but did not realise it.
Forty eight per cent of those who were diagnosed with HIV last year were men who have sex with men (MSM). And 47 per cent acquired the virus through heterosexual (male-female) contact.
The remaining 5 per cent was mainly made up of intravenous drug users and people who received infected blood transfusions overseas.
The Health Protection Agency estimates that currently there are about 90,000 people in the UK who are HIV-positive, but roughly 24,000 of them do not know that they have the virus.
Some of those who are HIV-positive will go on to develop AIDS. In Britain, there were 375 deaths from AIDS in 2011.
AIDS is a potentially lethal disease, which is caused by the HIV virus.
HIV means 'human immunodeficiency virus'.
HIV invades and destroys the immune system, which protects the body from infection.
This means that a person who carries the HIV virus is prone to many different illnesses and may die from diseases that are harmless to healthy people.
In some countries, particularly those located in Sub-Saharan Africa, the HIV rates are very high.
For instance, in the Republic of South Africa it's estimated that about 11 per cent of the population is HIV-positive.

Genital warts

In 2011, English GUM clinics saw 76,000 new cases of genital warts, an increase of 1 per cent on the previous year. Many other people develop warts, but they are not seen at clinics.
Warts, or condylomata acuminata, are caused by the human papilloma virus (HPV).
Many months can pass from the time of infection to the actual development of warts, so it may be very difficult to determine who you got them from.
In women, HPV can lead to microscopic changes in the cervix and to the development of cervical cancer.
HPV is now thought to be associated with various other cancers, including carcinoma of the anus and of the throat and adjoining regions.
In 2012, it seems increasingly likely that throat cancer may be linked to HPV infection during oral sex.

Syphilis

In 2011, the incidence of syphilis went up by about 10 per cent.
Almost 3,000 cases were seen at GUM clinics. About three-quarters of all cases occurred in men who have sex with men (MSM).
If left untreated, syphilis is a dangerous and life-threatening disease. It's caused by a corkscrew-shaped germ called Treponema pallidum.
It's passed on by intercourse or by almost any other form of sexual interaction, including anal sex.
The first symptom appears between 9 and 90 days after exposure to the germ that causes it. A small lump develops at the infection site (usually the penis, the anus or the vagina), and this soon breaks down to form a painless ulcer.
Later, there is a secondary stage (characterised by fever, rashes and throat ulcers), and eventually a tertiary stage (in which the germ may attack the brain, spinal cord and other organs).

Non-specific genital infection

This rather 'catch-all' term means any sexual infection of the genitals in which a causative germ has not been found. It’s probable that many cases are actually caused by chlamydia.
The diagnosis of 'non-specific genital infection' is mostly made in men. It is frequently referred to as 'non-specific urethritis' or 'NSU'. Chief symptoms are pain in passing urine, and a slight discharge from the penis.
In 2011, the number of cases in England rose by 5 per cent to about 62,000.

Trichomonas

Trichomonas vaginalis (often known as 'TV') is a protozoan 'bug' that affects the vagina.
It causes a green or yellowish, bubbly vaginal discharge and intense vulval soreness. It often produces a 'fishy' smell.
However, some women have no symptoms at all, and men rarely do.
For unknown reasons, the incidence of 'TV' in the UK has declined sharply in recent years, though it is reported as still being common in the USA. Only about 6,000 cases were diagnosed in UK clinics last year. But in addition, a substantial number were treated by GPs.

Bacterial vaginosis

The diagnosis of bacterial vaginosis (BV) has become common during the last 10 years, with about 100,000 women per year being seen in GUM clinics, and an unknown number being treated elsewhere.
BV is a common cause of vaginal discharge. The discharge is usually whitish or greyish or sometimes yellowish, and tends to have an off-putting ‘fishy’ odour.
Unlike the discharges caused by thrush or trichomonas, it’s not usually associated with soreness, discomfort or itching.
It's uncertain if BV is transmitted sexually, especially as there's no equivalent condition in males.

Vaginal thrush (female candidiasis)

Thrush is one of the commonest of all 'female infections'.
It's impossible to say precisely how common it is, since it's not only treated in GUM clinics but also in GPs' surgeries and Family Planning clinics.
Furthermore, huge numbers of women simply treat it themselves, since anti-thrush treatment is available without prescription in every pharmacy in Britain. At a conservative estimate, there must be at least half a million thrush infections per year in Britain.
Candida is a fungal infection. It loves warm, moist conditions, which is why it flourishes in women's vaginas – and also in babies' mouths, particularly in the newborn.
I'd like to stress that it's NOT an STD, and many people don't regard it as a sexually transmitted infection at all – though undoubtedly partners do sometimes pass it to and fro between them. That's why it's sometimes necessary to treat the male, as well as the female, in order to eradicate the candida from the relationship.

Scabies

There are currently about 2,400 new cases of scabies and crabs a year.
Scabies (the itch) isn't actually a genital infection. But it's often dealt with at GUM clinics because of the fact that it's frequently acquired through being in bed with someone who has the condition.
It's caused by a little mite, which is just about visible to the naked eye. If your skin comes into contact with the skin of somebody who has scabies, some of the mites may well nip across from the other person's body to yours.

Crabs (pubic lice)

Various kinds of lice affect humans. But the type that are associated with sex are pubic lice, which are easily transmitted from one person to another when two sets of pubic hair meet.
If you catch crabs from someone, you'll find that you have intense itching in your pubic area. By looking carefully, you may be able to see the tiny greyish lice crawling around. They do look a bit like minute crabs.
It may be easier for you to spot the white eggs (nits) that stick to the hairs.

Molluscum contagiosum

Molluscum contagiosum is a viral condition that causes little 'pearly bumps' on the skin.
Although it's known to many parents as a childhood condition that's passed on when children have skin-to-skin contact in baths or beds – it can also affect adults.
Over 17,000 cases turn up in GUM clinics every year: about 12,000 men and 5,000 women.

How can sexually transmitted diseases be avoided?

  • The fewer sexual partners a person has, the lower the risk of infection.
  • Most sexually transmitted diseases can be avoided to a large extent by practising safe sex (eg using condoms).
  • You should try not to have casual sex.
  • If you're under the influence of alcohol or other drugs, don't even consider having sex with anyone.
Most sexually transmitted diseases can be cured if they are diagnosed and treated in their early stages.

How many people go to GUM clinics?

Currently, the number of people who go to GUM clinics is around two million per year. This figure has more than doubled since 2001.
Although most of them do not have an infection, the actual number who have STDs is currently approaching half a million per year.
Furthermore, a lot of genital infections are treated by GPs or private clinics – and these don't even get included in the national statistics that have been quoted above.
Generally speaking, if you think you have an infection you should go to a GUM clinic.

How do you find a GUM clinic?

Unfortunately, it's often been difficult for people to find a GUM clinic, simply because of the veil of secrecy that has always surrounded this subject.
You may find clinics listed in phone book directories under either 'genitourinary medicine' or 'sexual health clinics'.
A better approach is to call your nearest hospital and ask them where the GUM clinic is located, and what the phone number is.
Another good plan is to phone NHS Direct on 0845 46 47. They have a complete list of all the GUM clinics in the country. Also, ask them if you need to make an appointment, or whether you can just turn up at a 'walk-in' session. You can also use the Family Planning Association (FPA) clinic finder.
You don't need a GP's letter or 'permission' from your GP. Also, the clinic will not write to your GP, unless you specifically ask them to.
Everything that happens at the clinic is strictly confidential. No information is passed on to other doctors, family members or to insurance companies.
How long will you have to wait before you are seen?
Naturally, the rise in STD figures over the last decade has put GUM clinics under pressure. But the staff are doing their best to cope, and currently most people can be seen within 72 hours of contacting the clinic.
In order to prevent the spread of infection: it's important that you don't have sex, until you have been seen at the clinic.
Finally, bear in mind that most STDs are easily cured. If you've taken a risk, go to a GUM clinic for a confidential chat and some tests.


Read more: http://www.netdoctor.co.uk/health_advice/facts/venerealdiseases.htm#ixzz2GwhUwxha 
Follow us: @NetDoctor on Twitter | NetDoctorUK on Facebook



Chimbodongorerawo apa uone raini rezvigwere zvinowanikwa pakuvatana kwevanhu. 




UDZAI VAMWE!!!!!

Friday, 28 December 2012

Kana usingadi mimba

   Sarudza chokuita pane izvi. Ukaonawo munhu oita mimba mazuvano ziva kuti arikurongera umwe murume. hazviiti kuti ungoerekana waita mimba usingadi. Kana uchiona kuti murume waunaye ndiRoja chaiye, shandisa mapiritsi zvese nemakondomu.

    caps
      combined pill
      condoms (female)
      condoms (male) 
      contraceptive implant
      contraceptive injection
      contraceptive patch
      diaphragms
      intrauterine device (IUD)
   intrauterine system (IUS)
     natural family planning
   progestogen-only pill
   vaginal ring

There are two permanent methods of contraception:
          
           female sterilisation
         Male sterilisation (vasectomy)

Vhura makumbo ako wega pasina zveganyabvu kana kufosana. Kana ukahwa murume anoda kukufosa iwe chitanga wamuudza kuti

chokutanga: Moenda mese kuTEST monopiwa ma RESULTS enyu moratidzana. kana umwe wenyu ane chaanacho mobvapo masina modzokera kudzimba dzenyu mese musina chamapanana. Nyaya yapera.

Kana mese musina chamunacho, mogara pasi moronga yokudzivirira mimba mese muchibvumirana. Madaro moronga kuti musi wekuti panzvimbo yokuti ndipo pachatangira zvinhu kupindana. Worhojewa wakasvinura maziso uchitoziva kuti pano ndadzivirira nyaya dzese.

Zvokuuya kumba uchizoudza tete kuti une mimba ndiwo anohi maune chhaiwo iwawo. musatisvodesa nokushaya njere. Mazuvano chero ukadanana nechidhakwachintoziva kuti kunopfekwa kondomu.

Mimba yakangofanana neHIV pakuti kana usingadi kuibata hauibati, uye inoda vanhu vaviri 

Tuesday, 25 December 2012

Pakunovata


Nyaya yokuronga zvokunovata nomurume/mukadzi wako inyaya inosiyanisa vanhu kufunga kwavo zvokuti imi mumba menyu itai zvamunoona kuti munobvumirana. Kune vanhu vakawanda vanoroorana vagoita makore akawanda vari vese asi pasina anoona muviri weumwe wake asina kupfeka. Pano ndoda kumbotaura maitire avanhu vakasiyana mudzimba dzavo. Imi maziva izvi musada kuita samai nababa nhingi asi itai zvenyu zvinokugarisai zvakanaka muri vaviri. Kana uri murume hwisisa kuti kana mukadzi wako achiita zvisngakufadzi, unofanira kumuudza.  Kana uri mukadzi murume wako achiita zvisingakufadzi, wana mukana wekumuudza kuti azive.  

Zvokupfeka muvete:
Kune vanoti kana vonovata vese murume nomukadzi vanopfeka zvipfekwa zvokuvata nazvo. Vanovata havo vaadaro, zvokuti pamwe ukavavhakashira unoona vachitobuda muimba yavo yokuvata vakapfeka izvi.Zvipfekwa izvi hazvibudwi pazhe nazvo asi mumba zvinokwansa kuti chero pane vaenzi munhu anoonekwa hake akazvipfeka, zvichibva nokuti zvakasonwa sei. Pane zvimwewo zvinoratidza nhengo dzomuviri zvokuti hadziiti kutiuonekwe neasiri murume/mukadzi wako. 

Zviri kwamuri mese kuti munobvumirana kupinda mumubhedha makapfeka zvipfekwa, asi kune vamwe vakadzi vanofarira kuti kana voda kuvatana nomurume, murume aite EFFORT yokumubvisa hembhe. Kune vakadzi vanoona zvichiwedzera zemo kubviswa hembhhe nomurume. Vakadzi vakaddai vanopfeka zvipfekwa vasati vapinda mumubhedha nomurume. Kazhinji vakadzi vakadai vanotora nguva kutsvaka zvipfekwa zvokuvata nazvo zvinoyevedza varume kutarisa. Kuti murume anyatsoona mukadzi anopfeka, obva asiya rambhi rakatungidzwa kuti murume aone agoyevedzwa nazvo agoita zemo rokuda kutanga zvokuvatana.

Pamwezve unoona kuti mukadzi anopfeka zvibhurugwa zvisingavhari pamberi, zvinoitigwa kuti mukwanise kupindana bhurugwa risina kubviswa zvinohi CROTCHLESS Underwear. Ukatarisa pabhurugwa riri papikicha iri uchaona kuti murume anokwanisa kungopinza chombo bhurugwa riripo nokuti rakashhama pamberi. Kuripfeka kungoda kuitisa murume zemo.

 Iwe kana uchisarudza, unotosarudza uchiziva kuti murume wako munhu akaita sei uye chii chaanofarira. Iyewo murume anokwanisa kutengera mukadzi wake zvipfekwa zvakadai. Zvinhu ndezvokupanana mazano mumba kuti muwirirane muchizivaa kuti uyu anofarira ichi uyu icho.

Kozoitazve vamwee vanoziva kuti iye nomurume wake havawanzi kuvatana saka anopinda mumubhedha akapfeka zvokuvata nazvo achiziva kuti nhasi nyaya yokuvatana haipo, zvichibva nokusada kwavo vese kana kuti kuchembera.

Kozitawo vamwe vanopfeka zvipfekwa kuti vasahwa chando usiku.
Varumewo vanongokwaisa kupfeka zvavo zvichibva nokuti vanhu vakaita sei, asi varume vakawanda vanoda kuita sokuti iye ndiye anofarira kuvatana nomukadzi kupfuura mukadzi kuda kwake kuvatana nomurume. Ukaverenga zvinhu zvavanokomburena nazvo unohwa vachingodemba kuti vaadzi vavo havadi kuvatana navo kakawanda. Idzi inhema hadzo asi ivo havazvizivi. Havatozivi kuti vakazi vavo vanenge vachitodembawo kuti murume haasi kuda kundivata mazuva ese.

Kupfeka hembhe kutimurume/mukadzi asakubata muvete.
Dzimwe nguva zvinoitika kuti mukazi nomurume vapokane mumba, vozoti pakunovata, kana nyaya yavo isina kugadziriswa, zvinoitika kuti umwe wavo anokwanisa kusada kuvatana noumwe wake, obva apfeka zvipfekwa kuti uya umwe asambokwanisa kuvatana naye pahope. Zvakadai zvinoitika kana uya nyakupfeka achida kuti umwe wake akumbire ruregerero nokukasira. Kupfeka zvipfekwa uku kuda kuti uone kuti agumbuka saka haachadi kuti usvike pedo naye.

Hino mazuvano kune mahovhorosi ekuvata nawo anohi Adult Footed Pyjamas, okuti kana umwe wako akapfeka, hauwani pekumubatabata napo. Ukaona murume/mukadzi akupfekera hovhorosi iyi, chitoziva kuti nyaya haina kumira mushe.

 Iwe kana wakachenjera chimirira ambovata akadaro kwekanguva kanoita maminitsi gumi. Anokwanisa kunyebera kuridza magwiriri iye asina hope, nokuti zvinenge zvichitomudyawo moyo. Mumutse umuudze kuti iwe hauna hope nokuda kwezvawamuitira. Kumbira ruregerero, hazvinei kuti uri mukadzi kana murume, kumbira chete. Kana angokuudza kuti akuregerera, iwe usakasira kuda kuvatana naye. musiye akadaro musi uyu. Mangwana acho unoona ega opinda mumubhedha asina kupfeka chinhu.  Chiziva kuti nyaya yapera. Chikasirawo kudzokera pazviitwa zvenguva yokuvata.

Zvinorevazve kuti musi waanokukanganisirawo akakumbira ruregerero, iwe chikasirawo kumuregerera iye kuvatana naye kuti nyaya isaendereramberi. Nyaya dzomumba hadzinetsi kugadzirisa kana mukakasira kudzigadzirisa. Mukadzinonokera munoona kanya kange kasina kana maturo katokura kuita zinyaya ziguru.  Unoona murume mukuru achitadza kungokumbira ruregerero kwevhikiyese, opedzisira ava kutotarisa mahure mukadzi wake arimomumba achiti nokuti arikumurambira. Uyawo mukadzi, ngahwsise kuti ukarambira murume wako nhasi uchiti akanganisa, chiregawo kuzoti vhiki ipere uchingomupfekera zvipfekwa mumubhedha. Munhu ajaira kuvatana noumwe haafaniri kumbonyimwa.

Kana ukaona kwapera mazuva maviri murume asina kukumbira ruregerero, Mukumbire muwane nguva yokutaurirana. Kana vana vaenda kunovata movara door reimba yokugara motanga nyaya yenyu. Musada kutonga nyaya yokuvatana muri mumubhedha hazviiti, zvinoita sekuti muri kupanana Challenge, yokuti

"Ndikwire kana uchindidherera" kana kuti 
"Chiramba wakadaro tione kuti uchakwigwa nani." 

Kune vamwe vanhuzve vanofunga kuti kana waramba kuvata naye zvinoreva kuti wambovata noumwe munhu musi uyu. kana wakaroorana nomuhu anofunga seizvi, unofanira kugara wakakasira kugadzirisa nyaya dzokupokana, uye kusagaromurambira nokuti zvichakuomera mberi uko.

Magadzirisa nyaya yenyu mukabvumirana pakunovata chiregai kupfekerana zvipfekwa izvo zvisina musoro. Uya nyakutadzigwa ngaachitaridza kuti nyaya yapera saka ndiye anokwesva umwe wake kuti ngatiitei zvitwa. Abvumawo iwe chiratidza kuti shuwa wange wasuruvara nokushaikwa kwezvinhu. Ita nomoyo wese musi uyu. Wobva waratidzawo rudo, nokutenda kuti muri mese pauviri hwenyu. Usasiya umwe wako ane DOUBT yokuti nyaya yapera. Kana wati nyaya yapera, chirega kuzoiunza mumba vhiki inouya.

Kuti magumburana motanga zvokupfekerana hembhe pakunovata kushaya njere hako. Kupokana kwefungwa hakufaniri kuva kupokana kwemuviri. Muviri unoda kupiwa zvinogutsa muviri. Fungwa ndedzokuRHIZENA nezvefungwa.  Ukagutsa muviri fungwa dzakanaka dzinowanda. 

Kutadza kuvata zvakanaka.
Zvinoitika kuti kune vanhu vanoti ukangomubaya kana negokora avete anobva atopepuka ozoita nguva asingawani hope. Kana ukaroorana nomunhu wakadai munotonetsana nokuti iye akapepuka iwe uvete, anoshaya wekataura naye pamwe okumutsa. Kuseni mese munomuka makaneta zvokuti.

Vamwe vanoti kana une munu wakadai, itai zvokuvata uyu pake uyu pake kuti musamutsana usiku. Munotora mibhedha miviri moiise pamwe chete moti pakunovata motangira mumubhedha wemukadzi, movatana monakigwa, madaro momboita tunyaya makambundikirana, pedzezvo murume oenda kwake moita zvehope. Anenge asiri kure, zvokuti umwe wenyu akaita zemo usiku, anongoswedera kune umwe motoona zvokuita.

Kuvata pakasiyana kunobatsirazve kana wakaroorana nomunhu anonhuwa fodya kana kuti asingafariri kugeza mazino, kana kuti anobudisa mweya avete, zvingava zvinokushaisa hope.

Vanoridza magwiriri vanonetsa kagadzirisa nokuti vanoita ruzha gwakawanda zvokuti chero uri kure unozvihwa. Ndichataura nenyaya dzemagwiriri. 

Munhu asingavati zvakanaka anokwanisa kuita hasha kana kutadza kuita zvinhu zvaanofanira kuita. Ona kuti umwe wako ari kuvata zvakanaka. Kugeza nemvura inodziya kupfuura muviri kunobatsira hope asi unofanira kuzviita mava kunovata zvokuti unongobva pakugeza uchinanga kunovata. Chinhuzve chakanaka kuvarume nokuti zvinobatsira pakunonoka kudiridzira mukakadzi pakuvatana. Iri ngari yokuti muviri wakareruka . 

Kuvata musina kupfeka zvachose.
Mhomho yakawanda vanovata vasina chavakapfeka, vese murume nomukadzi. Zvikuru vechidiki vanoziva kuti pakunovata chinhu chaunongoenda nacho itawero rokupukutisa. Hapana chimwe. Kazhinji mese munenge muchitoziva kuti pakunovata muchatombovatana chete musati maita hope. Kana muchangoroorana munokwanisa kuita makore anosvika mashanu kana kupfuura muchivatana kaviri kana katatu pazuva. Usiku futi munomukirana movatanazve.  Saka nyaya yokupfeka zvipfekwa inenge isingashandi pakadai.

Unongoti ukabva kunogeza wonovata wakadaro. Kana usiku paya chombo chomurume chinongomira chega kanoita kasere kana kupfuura (men have nocturnal erections eight or more times each night)  iye avete, zvokuti kana muvete unokwanisa kupepuka uchihwa kugogonegwa nechombo kumagaro, iye muridzi avete hope chaidzo. Ukada hako unongosimudzira gumbo wogonya zvishoma womubata chombo woruramisa, chopinda iwe zii zvako, unohwa murume ototanga kukoira avete. Kuzotiwo pepu mopedzisa henyu.

Murumewo akapepuswa nokumira kwechombo mukadzi avete, Zvinonzi vakadzi vakawanda pakufakanyika nokuchinja mavatira pava kwahi tinotanga nokusimudza gumbo nokuriisa kuseri kwemurume zvokuti murume anokwanisa kupinza mukadzi ari kuhope. Vakadzi vakawandisa vanorhojewa vari kuhope vachizozviona mangwanani kuti zvidya zvakaomera urume. Ndofunga tese tinoziva nyaya iyi. Kusamutswa nekuiswa hazvirevi kuti hakunaki asi kuti unenge wakarerusa muviri kuhope zvokuti pamwe unotorota uchiiswa izvo uri kutoiswa zveshuwa.

Murume anomisa chombo avete. mukadziwo anonyorova avete zvokuti usiku anenge akanyorova saka murume anomupinza chombo ari kuhope zvisingagwadzi.. 

Ndiwo maitire evachangoroorana. Mese munenge muchifarira kuvatana.  Kozoti mava kujairana nokukura moderedza, zvichibva pakuwanda kwemabasa emumba uye kuneta.

Kuvata musina hembhe kwananakirazve kuti munoongororana miviri yenyu nokozivana zvese. Kwahi Adamu na Eva vange vasina hembhe nguva yakareba chose uye vaiva nomufaro. Kwakangozotiwo vadya muchero ndokuzotanga kupfeka mazhizha emiti, asi zvange zvisina kufanana. Upenyu hwaiva nani vasina kupfeka.

Vana
Kana mune vana vadiki, unoona kuti mwana anongopepuka pakati peusiku obva auya kuvabereki opinda mumubhedha wenyu muvete. Kazhinji anongopinda pakati penyu otovata. Hachisi chinhu chakaipa kuti mwana avate nevabereki vake asi onai kuti mwana haaratidzwi muviri yevabereki vasina kupfeka, zvikuru kana ava nemakore anopfura matatu. Kana zvichinetsa kuti mwana avate kwake oga, sokuti pamwe anogwara, gadzirirai avate pedo nemi asi ari pake oga. Kana achidziya muviri mukamurega achivata pakati penyu anotowedzera kudziya muviri.

Summary:
Apa ndataura nyaya dzezvokuita pakunovata kana muchigara mese makaroorana mukadzi nomurume. Vamwe vanovata vakapfeka hembhe,
Vamwe vanongopfeka kuitira kuti vapanane zemo,
Vamwezve vanopfeka kuti vasawana zemo.
Vamwewo vanovata vasina chavakapfeka, voita sharaude pakuvatana.
Vamwezve vanovata nevana vavo mumubhedha umwe chete vopfeka kuti vana vasasangana nezvinhu zvevakuru.

Iwe nomukadzi/murume wako hwisisai kuti chamunopfekera zvinhu pakunovata chii uye zvakatanga sei uye ndizvo zvinodawoo umwe wako here? kana zvisizvo, chimbofeyafeya uhwe kuti anofarira chii, ugozamawo kumuitira.

UDZAI VAMWE!!!!!!




Tuesday, 18 December 2012

Kisimisi yakanaka kwamuri mese!!!


Kisimisi yakanaka kwamuri mese

Ndinokumbirawo uti mutambe mitambo miviri iy muchiziva kuti mumufaro wedu munowanikwa rufu dzimwe nguva.

Vanhu kana vafara vanoda zvokuvatana. Pamwe vanovatana nevanhu vavangosangana navo kuma Party nomudzimota dzokufambisa. Kana wafunga kudaro, chihwisisa kuti kunopfekwa kondhomu. Kana uri mukadzi kana uri murume, famba nemakondhomu ako akakukwanira kuti zvisakunetsa. Tese tinoziva kuti chihure chinouraya asi vanhu vanongochiita chete. Chenjerai.

Vanoenda kumusha kubva kune dzimwe nyika vanosvikowana kune vanhu vanovagamuchira nomufaro. Kana wako ari kure iwe wada kuhura, pfeka kondhomu.
Farai zvakanaka tisahwa zvokubhehuka nedzimota.
Ndatenda chose

Kana uri MuKristu, hwisisa kuti Ishe havana kuzvagwa muna December, uye kuti tinovatenda mwedzi wese wese kwete muna December chete.

Kana une mukadzi/murume, woonawozve kuti wamuitirawo chimwe chinhu chinomufadza musi uyu chisiri chemhuri yese asi chake iye ega kuti azivewo uti shuwa musi uyu izuva rakasiyana nemamwe mazuva pakuti nepekuti. Zvokuti akapopota iwe wopopotawo bodo. Kana apopota iwe chideredza hwi rako utaure naye zvakanaka.

Pakunovata kana usiri kumwedzi, usingagwari, wombotaridzawo kuti nhasi izuva rokupanana nomoyo wese. Chiya chaanisikumbira uchimurambira ndiyonguva yekumupa.

Varumewo mombozama. Kana uchisiita zvokunyemudza, wombozamawo kuwedzera. Isu tinofarirawo kumbundikigwa nevarume vedu isawo mukadzi wakomumaoko ako womuudza nezverudo mobatwa nehope makadaro, BP roita shoma mumba. Pano pazororo, mowedzerawo zvinopiwa vamwe mumba kwete kungosweromwa doro nokubhema mbanje zvinoita kapuracha dzemuraini.

Kana une mota yokufambisa, ingoifambisa kusvika kumba woisiya yakadaro kusvika zororo rapera, woita nguva yakanaka nemhuri yako. Zvokuswerombeya uchinoona vanhu hazvina nebasa rese mazuvano. 

Kudanana nomunhu ane mari iwe usina.


Kudanana nomunhu ane mari chero ari murume kana mukadzi, chinhu chinoda kuti utange wafunga usati wachiita. Mari chinhu chinopokanisa vanhu vakawanda mumhuri, muushamwari, nomurudo, zvokuti ukangopinda munyaya yacho usingahwisisi mamirire akaita zvinhu, unozvikanganisira upenyu hwako. 

Munhu ane mari haanetsi kuona. Vakawanda havavanzi mari yavo. Mari inoonekwa pazvinhu zvakawanda zvinoti zvipfekwa,  imba, zvinhu zvemumba, mota,  zvipfuwo zvepamusha, purazi, basa raanoita.  Kana uchisangana nomufumi wausingazvi, unokwanisa kukasira kuona kuti uyi munhu ane mari. Anozosara okunyenga iwe watomupa chigaro kare.

Murume ane mari
Kunyengwa nomurume ane mari chinhu chinodiwa nevakadzi vakawanda. Murume ane mari haanetseki kuwana mukadzi wekuroora, zvichireva kuti kune vakawanda vanoona sokuti kuroogwa nomurume ane marii yake kare chinhu chinodadisa. Vana vanokura zvakanaka uye iye mukadzi anohwa ari mambokadzi pamba pake nokuti vanhu vemumhuri vanenge vachizokumbira zvinhu kwake. Kumunhukadzi, chinhu chikuru muupenyu kuva nomusha wakatsiga. Mari inoonekwa sokuti intsgisa musha. Munyika dzakawanda vakadzi vanozikamwa kuti vanoda pane mari. Murume akangomunyenga chete iye fungwa dzake dzatove kumakore anouya ozvitarisa achizviona ariye mukadzi wemunhu uyu, mai vevana vake, mukadzi waanovinga kumba achizoturira nhamo dzake dzepamoyo.

Chinonetsa pakunyengwa apa mukadzi haazivi kuti sei murume uyu amunyenga. Pane zvakawandaa zvinkonzera kutimurume anyenge mukadzi:

1 Murume anonyenga mukadzi nokuti vangosanganawo havo asi havazivani saka Havana nyaya dzokutaura dzakawanda. Kana nyaya dzapera vasisina zvokutaura murume kazhinji anotanga kubvunza nezvokutimukadzi ane murume here uye vari papi. Mukadziwo kana aona munhu anotaridza kumufarira, anorerusa hana zvokuti murume akangwara anoramba achitaura nezvezvo opedzisira anyenga. Mukadzi angaramba hake ipapo asi anokwanisa kupa murume uyu nhamba dzake dzefoni, vozopedzisa nyaya dzavo rimwe zuva.

2 Murume anoona mukadzi aanofunga kuti anoyevedza kutarisa obva ada kumunyenga. Zvinoitika kuti vakadzi vakawanda vanoyevedza varume kutarisa havatozivi kuti ndizvo zvavari. Anotoshamisikawo kuti munhu ane mari yakawanda kudai ari kumunyenga zvaita sei? Uku murume anenge atoona kunaka kwemukadzi obva amuda ofunga kunaka kuchaita vana vake kana adanana nomunhu wakadai.

3 Murume anokwanisazve kunge ari kure nokumusha kwake asi achida munhu wekuvata naye musi iwoyo. Akasangana nomukadzi anomunyemwererera anobva afunga kuti angangokwanisa kuvata naya obva amunyenga pavasangana ipapo. Mukadzi haangazivi kuti murume ari kumunyenga zvaita sei kusvika kwapera nguva vachidanana.

4 Pamwezve anenge achingotamba hake asina kana basa nezvaari kuita. Munhu ane mari munhu ajaira kungoungganigwa nevanhukadzi zvokuti anongotamba navo.

___________________________

Murume ane mari akakunyenga kazhinji anokasira kutanga ahwsisa kuti iwe nemari muri papi. Kana kwenyu kusina mari, zvinokwanisawo kumunnetsa kuziva kuti uri kumuda iye here kana kuti unoda mari yake. Ngatisakangamwa kuti rudzi gwedu isu vanukadzi tikaona mari tinoita senhunzi panyama yakaora, kuita yokuteverera.  Murume ane mari haashai vakadzi vanomuda vakawanda.

Akakuroora anokuroora achioziva kuti zvemari hauzvihwisisi saka mumba menyu ndiye achatarisa mafambire emari. Izvi zvinoreva kuti iwe unomirra kupiwa mari chero yaada kukupa. Inkwanisa kunge yakkawannda hayo asi ndeyake iwe basa rako kushandisa yawapiwa.

Vayavo vanokuona vanoona sokuti wakamudira mari yake saka kazhinji vanokuongorora maitire ako vokufungira twakawanda. Ukuzve vakadzi vaya vanga vachitevera murume uyu havaregi kutevera kana akuroora. Zvinoreva kuti iye murume anofanira kuva munhu akarurama kuti asaita upombwe. Kune vamwe vanongoda kuziva kuti vakambovata naye chero vachiziva kuti hapana chavo pamunu uyu. Iwe somukadzi wake une basa rakawanda kupfuura vamwe, pakuchengeta murume wako pane zvese. Ipapa panokunetsa kana ukasakasira kuhwissa SOCIAL MAKEUP yomurume wako.

Mukadzi ane Mari:
Kunyenga mukadzi ane mari kana akazvarigwa mumari hakunetsii uye zvinoitika kakawanda. Tinozviona kutimukadzi ane mari yake yaari kuzvisandira kana kuti yevabereki vake yaanokwanisa kukumbira kana aita dambudziko, anokwanisa kudanana nomukomana anobva kumhuri isina mari uye iye asinawo mari. Anokwanisa kunge asingatoshandi pane imwe nguva. Ndiko unohwa vanotsoropodza voti RUDO IBOFU kureva kuti havafari kuti chiitiko chaitika.

Mukadzi wakaai kana ada murume wake hazvimunetsi asi hama dzake dzinkwanisa kugara dzakappindir munyaya yake kuda kuonekwa kuti ndivo vaari kuchengeta mwana wavo nokuti murume murombo. Pane vamwe vanoti kana pakaitika horodhey toti ye Easter kana Kisimisi. Unoona hama dzomukadzi dzasvika pamusha paanogara pane zviimba zviviri zveROUND zvisina mawhindo, pazhe pane muti wemupirikisi newemumengho.pamusha pasara huku shanu chete. Pakusvika kwavo vanouya nemota mbiri kana nhatu. Vanozovata pamba pemwana wamai vavo vasinei nokuti murume wake murombo.

Zvinoitika kuti vamwe varume vanotanga kuzvikombeya nehama dzomukadzi voona kuti pasiyana, votadza kugadzikana hana nazvo. Unoona vamwe voda zvokuchengera mukadzi kufunga kuti angangotogwa noumwe murume ane mari. Zvinogozhera murume murombo kuroora mukadzi ane mari pane mukadzi murombo kuroogwa nomurume ane mari.

Kana wadanana nomurrume/mukadzi ane mmari, iwe usina, tauriranai nenyaya iyi mubudirane pachenna kuti muri papi nokuti muasadaro, musi wamunotukana munokwanisa kupana mashoko anogwadza.

“Ndakakuwana uri rombe risina kana chinhu ndikakuda wakadaro hino nhasi wava kundibata sewakangamwa. “

“Haundidi iwe, pano wakavinga mari dzangu. Kwenyu wange usingatombozivi kuti chinohi sutu chii.”

Tauriranai machine mukana wekurambana, mobvumirana kuti rudo gwenyu gunobva papi uye muri kuendepi nago. Mari chinhu chinokonzera zvakawanda muupenyu, zvese nhamo nomufaro.  Hapana  chakaipa pakudanana nomunu ane mari, asi kungoti hwisisa zvauri kuita usati wadanana naye. Zivazve uti pane vakawanda vauchakwikwidzana navo saka panda waagwinya. Tiri kuti ita zvinhu zvako wakasvinura maziso. 

Udzai vamwe.!!!!!!!

Friday, 7 December 2012

Kuvengana nehama dzemurume/mukadzi

Zvinoitika kuti usvike pamusha ugowana pane ruvengo zvokuti unodzungaira nokugarapo. Pamwe iwe unofunga kuti hapana chawakanganisa saka woshaya kuti ruvengo gwabva kupi. Zvinoita kuti uzame kugarisana zvakanaka nemhuri yako tsva asi wongopedzisira waona kuti hazvisi kuita zvakanaka.

Kusarudza: Pane zvinhu zvakawanda zvinoitisa ruvengo kumuroora. Chokutanga ndechokusarudza kwemwanawavo. Zvinoitika kutimwana wavo kana ange akanyengana noumwe musikana kwenguva, uye ambouya nomusikana iyeye kuzortidza vebereki nehama, Ivo voisa fungwa yavo pakuti ndiye waacharoora. Pozokanganisika zvokuti vanorambana iwe wozonyengwawo hako zvatori zvesecond choice. Kana chikonzero chokurambana chisingabvumiwi pamushha apa iwe unoonekwa sewe warambansa mwana wavo nomusiikana wavanga vachida. Zvese zvaunozoita zvinoshorwa kuitira kuti vagoti uya nyakurambwa ndiye ange ari nani.

Kudzivirira nyaya yakadai, hwisisa mukomana wako kutii ange ane vamwe vasikana vanozikamwa nemhuri yake here, uye akadanana navo kwenguva yakadii. Kozotizve iwe usakasira kungoti apa wasangana nomukomana aka wotoda kurooranna naye, usingazivi mamirire akaita zvinhu mumhuri yake. Ibomira kusvika wanyatsoziva kuti zvinoita here kuti vahu ava dziite hama dzako.

Mimba: Mazuvano kuita mimba usina kuroogwa kuzviitisa chaiko. Cheromunhu anogara kumusha chaiko anokwanisa kundotsvaka makondomu kana kuti mapiritsi okudzivirira mimba. mazuvano hazvichanyanyi kunetsa kutaura nenyaya dzekuvatana nokuti vakachenjera vava kutanga vaenda vese kunotesitwa voudzana kuti vari papi votaridzana magwaro acho, vozoronga yokuvatana. Saka pakutaura ipapo ndipo pamunobvunzana kuti mimba toidzivrira sei. Mobvumirana kuti zvohwimwi. Kana mati makondomu, monoatenga kwaanotengwa moashandisa nomazvo. Kana mati mapiritsi, musikana woenda kwachiremba opiwa otanga kumwa, kopera mwedzi, mozoronga yokuvatana muviri wake wazara mapiritsi.

Kana ukatanga waita mimba mozoroorana zvechimbichimbi, mhuri yomurume inotora nguva vasingakufariri. Iyewomukomana wako iyeye aikukurudzira kubvisa bhurugwa kuti akupinze chombo, ndiye anototanga kukupopotera vamwe vese vasativambozva kuti wava nemimba. Unohwa ava kutoudza hama dzake kuti wakaita mimba kuti agokuroora. Vasikana vakawanda, zvikuru kana achiri mhandara akahi bvisa bhurugwa, anobvunza mukomana uti zvinofaba sei kana akaita mimba, Mukomana wese anoziva kuti kana akaudza musikana kuti anomuroora, bhurugwa rinobviswa. Saka iwe kana wabvisa bhurgwa unenge uchiti zvichafamba sei iwe mapiritsi hauna kumwa, kondomu hapana, mukomana haana kumbovata nomukadzi uku akazara nourume hwakakora. Unozobatwa nehope watova nemimba.

Kungodaroo watozvipinza padambudziko runoita makore kuribvisa. Mukomana anokuvenga asi uku achingoda kukukwira futi. iwe kuti urambe zvonetsa nokuti uri kuda kuwanikwa naye. Hama dzake dzinokuvenga kuti wakatadzira mwana wavo. Ukuwo dzako dzinomuvenga kuti akatadzira mwana wavo. Saka chako hapana.

Zviri nani kuzoita mimba wava pamusha pemurume.

Mari: Kana mukomana ange ari munhu anotambira mari achipa vabereki vake, hazviiti kuti iwe ugosvikapo vagokutambira vakasununguka vachiziva kuti uchada kuvaka musha wako nomwana wavo. Mari chero yakawanda sei, inokuvenganisa nehama dzomurume kusvika vaona kuti une moyo murefu. Zvinotora nguva. Kana iwe uchishandawo, zvinokwanisika kuti kumhuri dzese dziri mbiri munoonekwa sevanhu vane mari yakawanda. Kana mukasazopa hama mari zvoita sokuti munodada.

Mukadzi anonzi anodada kupfuura murume. Nyaya dzemari dzinonetsa kuti ukapa munhu mari, anonotenda umwe munhu. Kwahi "Haa, zvandakaitigwa nomuroora wa Joniseni zvakandifadza zvokuti. Akandiitengera dhirezi, ndokundipa mari yebhazi, ndokunditengera gurosari." Ipapo vari kutaura kudaro imwe hama yawakasangana nayo pamusika hauna kana kumboiti svika kumba.Ruvengo gotanga.

Kusazvininipisa pahama:
kana waroogwa imboitawonguva uchitaridza unhu, chero mumoyomako uchizva hako kuti hauna unhu. zvokutaura nehama sokunge havasii vanhu vakakosha, hazvifadzii vanhu. Unozvivengesa nemhuri wopedzisira wava wega. Kuva nemari hazvirevi kuti wakakosha kupfuura vasina mari. Ukafanemota yaunodada nayo, ivava vanhu vasina mari ndivo vanokuchema vagosarazve vachirera vana vako pasina mari.  Ukagwara, ndivo vanotumira chisikana chemhuri kuzokubikira chichitorovha chikoro.

Kuzvibata:
Mazuvano okuti murume ari Joni iwe wasara pamusha nevabereki vake, zvinonetsa kuti ugare uri munhu akazvibata kusvika murume adzoka. Ukanonoka kudzoka kumba kweshamwari yako vabereki vanofunga kutiwanga wanoona chikomba. Ukaenda kudhorobha ukasiiwa nebhhazi ukavatako, unoona ndondo nazvo. Kubvunzurudzwa kuti wakavatepi uye wakasiiwa sei nebhazi, ndiani akakuona, uye wakadyei. Munhu hwisisawo zvinhu zvinoita kuti vanhu vakufungire zvinhu zvakawanda.

Kungohwikwa uchitaura pafoni nevanhu vasingazikamwi pamusha apa zvinonetsa hana dzavo. Shandisa foni yako zvinoonekwa kururama kwazvo. Kana uri mumba mako hazvinyanyi kunetsa asi kana uri pamusha pevabereki vemurume funga nezvauri kuita. Kana zvikokisi zvabve Joni kumurume hwisisa marongero ekugovana nemhuri. Kungotora wonoviga kuBEDROOM kwako pamusha pane vanhu hazviiti.

Vanhu vakawanda vanononoka kuva pamwe nemhuri yavakaroora/rwa. hausiwe wekutanga kuvengwa. Hausiwee wekupedzisira. Iwe ndiwe unofanira kuziva kuti ndiwe mutsva pano. ndiwe unovaka ushamwari nehama dzako tsva idzi. Hwisisazve kuti zvkakuitpira ndiwe uchadzingwa pano. ukama hwako navo hwakasiyana nehwavo pachavo nomwana wavo.

Udzai Vamwe!!!!!

Saturday, 10 November 2012

Mishonga yechivanhu

Mishonga yechivanhu yakawanda chose inoshandiswa pane zvakawandisa asi kana tichida kutaura chokwadi tinoti mizhinji yacho hapana chainoshanda. Asi pakutaura izvi kana tichitaura tine ungwaru tinoonazve kuti mishonga inowanikwa muzvipatara hapana chainoshanda.

Mishonga mizhinji inotengeswa kuti vakaigadzira vawane mari chete. Ukaverenga nyaya dzematest anoitwa pamishonga unoona kuti haana kukodzera pane zvinozoshandiswa mishonga yacho.

Hino yedu yechivanhu haitombotesitiwi zvachose uye hapana anonyora kuti mugwere amwe makapu mangani emushonga wacho.

Imwai mishonga muchihwisisa kuti kazhinji haishandi pane zvauri kufungira kuti ndizvo zvainoshanda.

Kana uchida kuita mari nokukasira, unganidza midzi isingaurai vanhu ugoiisa muzvibhodhoro ugoudza vanhu kuti inorapa chigwere chokuti  nechokuti. Uchaona kuti vanhu havana basa nokuti iwe nyakutengesa unoziva sei kuti mushonga uyu unorapa chigwere. Havakubvunzi uye havana basa nokuziva kuti umwe munhu akamborapiwa nawo mushonga uyu ndiani.

Kutengesa mushonga wechivanhu hazvinetsi zvachose. Hurumende haina basa nokuti uri kupa vanhu mushonga. Unongotengesa hako, vanoda kumwa nekapu vanomwa, vanoda kumwa nechipunu vanomwa.

Kana wada kuwedzera mari chienda unotengesera kunzwimbo yausingazikamwi. Vanhu havadi kutenga mushonga kubva kumunhu wavanoziva.

Pane zvigwere zvakawandisa murudzi gwedu zvinoonekwa navanhu sezvigwere asi zvisiri zvigwere.

Sokuti munhu aita mimba 

Unoona vakuru voenda kunotenga mishonga vokuisira muzvokudya. Kwahi uyu

Mushonga wekuti mwana asatanga makumbo pakubuda
Mushonga wekuti mwana aite mukomana/musikana
Mushonga wekuti masuwo avhurike mwana abude
Mushonga wenhova kuti isawira mumusoro wemwana
Mushonga wekuti mwana asafa kana abatwa nomunhu ane uroyi
Mushonga wekuti chibereko chidzokere pasaizi yacho nokukasira.

Sokuti munhu asvika makore gumi nemaviri kune mishonga inodiwa. 
Mushonga wekukudza chombo chomukomana
Mushonga wekudhonzesa matinji
Mushonga wekubvisa zviminyamutundo mumakumbo
Mushonga wekukudza bhinzi
Mushonga wekuti mazamu akure
Mushonga wekuti mazamu amire.
Mushonga wekumisa chombo
Mushonga wekuti ndigodiwa nomukadzi/murume
Mushonga wekuti mwana agone muchikoro
Mushonga wekuwanisa basa
Mushonga wekuchengeta basa
Mushonga wekuisa mumvura yekugeza yemurume
Mushonga wekutundisa mukadzi pakuisana

Pese apa hapana chigwere asi pane mishonga.

Ukatarisa pazvinhu zvechiShona zvinorapiwa uchaona kuti pane zvakawandisa zvisiri zvigwere asi vanhu vanonotenga mishonga iyi vachiishandisa vadaro vobva vonoudza hama neshamwari dzavo kuti mushonga uyu unoshanda. Uya ane bhizimisi rake rokutengesa mushonga obva atowedzera mari.

Chikwadi ndechokuti hakuna mishonga iyi zvainoshanda kungotambisa mari chete. Pamwe kutokuvadza mwana wako kana une mimba ichingodya mishonga isina basa. Kana waita mimba, mwana achatoti abude chete. Izvi zvakaitika kubva kare mabwe dzichi nhuku. Hakuna mwana anorega kubuda achiti nokuti mai havana kudya mushonga. Masuwo ekuzvara anongokura kusvika mwana abuda napo chete. Munyika dzese dzisina mushonga uyu vanozvara vana seiko?  Musaudzana nhema. Hazvivaki munhu kumuudza nhema.

Kana uchigaromwa mishonga yausingahwisisi kuti inorapa chii uye kuti une chigwere chacho here kana kwete, uchaona kuti pakuzopera kwemakore uchaita chigwere chetsvo ( KIDNEY ) nokuda kwe OVERLOAD yauri kudzipa pakumwa mishonga iyi. Hatisi kuti mishonga yeChiKaranga hapana zvainorapa. Tiri kuti imwa mushonga kana une chigwere chinoda kurapiwa. Mimba hachisi chigwere. Uyezve kana une mimba, mwana wako anodya zvese zvaunodya iwe, saka kana uchimwa mishonga uri kutofidhawo mwana mishonga yacho iyoyo zvinova zvinokwanisa kukuvadza mwana.

 Varipo vanotadza kuzvara zvakanaka vozoitwa OPERATION, asi hazvinei nemishonga yenhema iyi. Ndosaka zvimwe zvivana zvichingozozvagwa zvisina njere. Mai vacho vanenge vadya twakawanda. Wozoona mwana otadza kusvika kana Form 2 chaiyo nokufoira.

Vanhu vechiSHONA takadzidzsana nhema kubva kare zvokuti ukabvunza munhu chero akadzidza sei unohwa achikuudza kuti mishonga yechirungu koita mishonga yechivanhu. Yechivanhu kuti ishande inoda munhu anouya nayo otanga aita zvimwe zvinhu zvinotaridza kuti iye nemushonga wake ndivo vanoshanda. Mushonga wega haushandi, iyewo ega haashandi. Panoitwa zvimwe zvinotaugwa ipapo zvaunongoona wega kuti hazvinei nomushonga uyu. Zvinonetsa kuti tibve panyaya idzi nokuti takadziudzwa kubva tiri vanana.

Nyaya dzokuroyana
Kune vanhu vakawanda chose vanofunga kuti kune vamwe vanhu vanokwanisa kuroya vamwe. Ukabvunza munhu anotaura nezvekuroyana kuti kuroya kuita sei, unokasira kuhwisisa kuti haatombozivi kuti kuita sei asi anofunga kuti zvinoitika.  Anotokuudza kuti muroyi munhu anofamba usiku asna kupfeka achikwanisazve kuita sipidhi iri pamusorosoro kutopfuura iya inohi pachirungu SUPERSONIC SPEED, iri ngari yokuti kuroya kunongokwanisika usiku chete saka anofanira kuenda kwaanoda kuroyera nokudzoka kuzhe kusina kuedza.

Zvatauri venhema idzi vakaona kuti shuwa hazviiti kuti munhu ega akwanisa kudai ndokubva vawedzera zvinoshandiswa ndokutanga kuti varoyi
Vanovamba vakatasva bere
Vanofamva vakatsva zizi
Vanobhururuka murusera
ETC.

Wega kana wakachenjera unongoona kuti nyaya chaiyo hapana asi kuti nyakutaura uyu haatombohwisisi zvaari kutaura asi anongotaura zvaakaudzwa nomunhu waanoobatira pamusoro, sokuti mubereki, mbuya, sekuru, kana imwe hama.

Isu tine hama imwe yakadzidzi chose kuenda kumaUNIVERSITY matatu. ndokuita mabasa ari pamusoro. Ndokuzobata HIV muna 2007. Ikozvino ukaverenga FACEBOOK yake anotaura ipapo kuti akaroiwa namai vake nokuti paaishanda basa riri pamusoro ange asingavapi mari yakawanda. Ikozvino anogara muchitangwena chemakadhobokisi achiita mari yokupemhwa. Uku akamitisa vasikana vatanhatu, vamwe vacho vane HIV kubva kwaari.

Tichitarisa nyaya yakadai tinoona kuti hapana nyaya yeuroyi zvachose asi kuti murume uyu haana kugamuchira upenyu zvakanaka uye akasarudza kuita zvisina maturo. Iye ega ndiye akazviroya. Mai vake munhu anototamburawo kuti sei mwana wavo avakatamburira kudzidzsa ava kugara muchitangwena achinyora paFacebook yake kuti vanoroya. Vhiki yakapera akatoporomisa vanhu kuti ane PROOF yokuti mai vake ndivo vanoroya. Ukuzve ari kuti hama ngadzitumire motokari indomutora kwaari kuPretoria adzoke kumusha. Akadzoka ivo mai vake ndivo vachamuchengeta asi nhasi ari kupapadzira kuti vari kumuroya.

Nyaya dzevaroyi inyaya dzenjere chete. Kana usina njere unofunga kuti varoyi variko. Kana ukatora nguva uchizvifunga unoona kuti varoyi hakuna.

Kune vanhu ve ZANU PF vanoshungurudza vanhu mumaraini asi hakuna anombovaroya. Koita iye President wedu Mugabe. kuvengwa kwaanoitwa navamwe vanhu, asi hakuna anomuroya. Koti murume anohi Jonathan Moyo vanhu vaimbomuvenga chose asi hakuna akamuroya. Zvinofamba sei?

Udzai vamwe !!!!

ko sipo inoshandiswa sei kuvhura nzira

Mudyandigere


Munhu kuti ahi nimudyandigere anenge ari munhu asingashandi zvokuuisa mari kumba. munhu agere zvake pamusha akamirira kusapotiwa nomurume/mukadzi wake. kubva kare naare isu vakadzi tisu taiva vana Mudyandigere asi mazuvanounoona kuti kune varume vava kuzviitawo izvi, zvikuru muDiaspora.

Mudyandigerekadzi.
Mukadzi munhu ane mabasa akawanda pamusha. Murume achitora mukadzi anoona kuti nguva yokuvaka mhuri yaanoti ndeyake yakwana saka odawo kuita vana vake. anonotsvaka musikana waanoda oroora vese vobva vatanga kugara vese vachironga upenyu hwavo vakadaro. Mukadzichero ari mushandi, pane nguva dzakawanda dzaanombogara pamusha asingaendi kubasa. Zvikuru kana azvara mwana. Kune nyika dzakaita se UK dzinopawo murume mazuva okugara pamba kana mwana azvagwa asimuchaona kuti anopiwa vhiki mbiri chete mukadzi achipiwa nguva yakareba. Izvi zvinoitwa nokutimukadzi anofanira kumwisa mwana, kuvaka muvirii wake uya wagadzira mwana nokumuzvara, uye kuita zvimwe zvese zvinodiwa kuitwa mazuva ese. 

Mukadzi ane vana kurikare ainzi agare pamba achirera vana vake. Zvokushanda zvange zviri zvemurume chete. Mazuvano nyaya dzawandisa saka rufu gwazadza nyka yese, iri nyaya yechihure chongoti vanhu vese vane mhurinevasina vava kungohura. Kare murume aikwanisa kusiya mukadzikumusha iye achishanda kudhorobha ega asi asingahuri, mukadziwo achisara asingahuri. Mazuvano kungoparadzana kwezuva rimwe chete, unohwa zvohi murume akaonekwa and joki mumota, mukadziwo akawonekwa ane chikomba. Vana vanozvagwa mazuvano kana usina kuvaendesa kutest hauzivi kuti baba vavo ndevapi. Iyewo murume anoendesa vana vazvagwa mumba make kutest ane vamwe vana vari kureriwa noumwe murume kune umwe musha. Yangove nyaya yokurera vana vazvarigwa mumusha wako. Kana usina mari yokunotesitisa vana, haumbofi wakaziva kuti havasi vako kana kuto vaya vazvagwa nemahure ako ndevako.

Zvakadai tinoona vakawanda vachifa nguva isina kukwana. Zvinoreva kutimukadzi haachakwanisi kuita mudyandigere. Ava munhu asina nguva yakakwana muupenyu. Kana akada kuita mudyandigere anofa kana kufigwa nomurume vana vasina kupedza chikoro. Zvozodii?

Vanhu tese hatidi kufunga nenyaya dzorufu asi kana une maziso uchaona kuti vanhu vari kutofa zvakawandisa. Iwe nomurume wako hapana zvinokuraramisai kupfuura vamwe. Kana ukafa kana kuti murume wako akafa, vana ngavawane chokuvachengeta nacho.

Kugdzirisa nyaya iyi ngatibvumirane kutii mukadzi ane vana anofanira kushanda achiunza mari kumba. Kana waroogwa usingashandi, wana mukana wekuunza mari mumba. Shanda kana kuzvishandira uchiwana zvinhu zvokuchengeta vana nazvo. 
Chimwewo chinhu ndechokuti  mwana achikura anofanira kukudzidziswa zvinhu zvakakosha muupenyu. Mwana akaona mubereki achishanda, anokoshesa kushanda okura achiziva kuti kushanda chinhu chakanaka.   


Mudyandigererume.
Kubva kare murume haadyi agere.Vanhu vanooseka murume anosara kumba achiita mabasa emumba muadzi achienda kubasa. Vakadziwo vanoona sokuti ndiye ava samusha kana achishanda murume asingashandi. Unozoonazve kuti murume anoruza confidence otanga kuita zvisina mature. Pane umwe anogara pedo nesu akazoti mukadzi obva kunight shift ndokuwana murume avete nehure mumba, Votukana akaudza mukadzi kuti zvokuvata ega vhiki yese haazvikwaisi. Ipapomukadzi aishanda 72 hours per week, odzoka kumba ovata murume amuka.  Varume hhavagoni kudyavagere.

Asizve kune vamwe varume vanoti uku hapana masa emumba aanogona, uku haashandi. Mukadzi anomuka oenda kubasa, odzoka oitazve mabasa emumba murume aswera akangogara mumba kana kuti aenda kunomwa doro neshamwari dzake. Ukaona wadanana nomurume akadai chikasira kumusiya utsvake umwe, zvikuru muno mu Diaspora. Mabasa mu UK ariko asi kungoti pamwe anenge asiri mabasa akakodzera.Ukaona murume asingashandi ziva kuti haadi kushanda. Ukaita vana naye watozvipinza pakaoma.

Asizve kunowanikwa murume anoda kushanda, aitomboshanda, ndokuzomiswa nenyaya yokushhaikwa kwemapepa munyika yauri. Haisi mhoswa yake kana mapepa achinonoka kubuda. Asi iyewo ngaachifanobatsira mukadzi anoshanda pakuita mabasa emumba  pane kuswera munhu akagara mabasa asina waita.

Murume asingashandi ane nguva yokuswerofunga zvaanoda kuita nomukadzi kana mukadzi adzoka kubasa. Hazziiti kuti mukadzii adzoka kubasa akaneta osvikoita mabasa emumba, ozodazve kuita mabasa emumba yokuvata. Kana adzoka kubasa mupewo zvokudya agere pasi. Wonomukwiza mubhavhu paanogeza womukurudzira kukasira kunovata momboitawo nguva yenyu pamwe chete.

Kune vakadzi vasina njere. Kana wakaroorana nomukadzi akadai unnona kuti kana usingashandi anokutsoropodza agokurambidza kuvata naye, agokuitisa sechimwana chidiki. Agotaurira shamwari dzakonehama dzako kuti hapana zvauri, haugoni chinokana chino. Paunozowana basa unenge usisiri murume anohi samusha. Kuzoda kudzokerana pamange muri kare zvinozokunetsai cheromari yavapo pamusha. 

Munyika dzisina mabasa:
Munokwanisa kuenda munyika isiri yenyu mosvikowana nyika iyi ine rusaruraganda zvokuti murume/mukadzi anokwanisa kushaya basa asi ari munhu akadzidzira mabasa akawanda. Sokuti uri Dhokotera, unokwanisa kunyimwa basa rawakadzidzira. Fanoshanda basa rinowanikwa uchiriritira mhuri yako uku uchitsvaka basa rako nokuwedzera kudzidza.

Kugara mumba usina chauri kuita kunobvisa rukudzo uye kunokuitisai kuti mupopotedzane mumba. Musha wakanaka hauna bopoto.  Vanhu shandai murere mhuri dzenyu. Zvokuti murume/mukadzi anotambira mari yakawanda saka iwe woda zvokugara mumba hazviiti mazuvano.


Kurambana:
Unokwanisa kugra mumba uchifunga kuti zvokushanda hazvina basa, wotadza kuverenga nokutsvaka basa. Kozti nguva yafamba murume/mukadzi wako okuudza kuti haachisina rudo newe. Uchazodii pakadaro. Unowanepi umwe akaita saiyeye iwe wava munhu akura? Munhu gara wakagadzirira upenyu uri munhu akakwana pane zvaanoda kuti ararame.  Kana uchiwana promotion kana kukudza bhizimisi rako ita izvozvii uchine ENERGY yakakwana.

Murume/mukadzi anokuudza kuti usashanda munhu anokuudza nhema. Munhu asingadi kuti utarise upenyu sezvahuri. Munhu asingatarisiri mberi as anotarisa zvanhasi ofunga kutii upenyu hwenyu huchangogara hwakadaro kusvika vana vakura mave nevazukuru. Munhu akadai haazivi upenyu. Gara naye pasi muronge.

Munhu anokurambidza kudzidza kana kukunyima nguva yokudzidza munhu asingakudi, uye asingadi vana vako. Munhu anoziva upenyu anogadzirira upenyu.

Ikaona hama yako kana shamwari yako ichitsvaka basa zama kumubatsira awane basa nokuti kumba kwake kune nhamo inoda awane basa. Kana tese muraini tikashanda, raini redu rinova revanhu vanobudirira. Nhasi iwe une basa. Mangwana unokwanisa kunge usina basa. ndiani achakubatsira kuriwana.

Murume wako kana asingashandi murume wako chete anopiwa abasa evarume apamusha
Mukadzi wako kana asingashandi mukadzi wako chete anopiwa mabasa evakadzi apamusha.

Ngatisaputsa dzimba dzedu nenyaya yokuti umwe haashandi. Asizve iwe zvokudya ugere mabasa ariko siyana nazvo.


Udzai vamwe!!!!!!