Saturday, 25 May 2013

Kutorana mapikicha muchirhojana

Kutorana mapikicha nemavhidhiyo muchirjojana chinhu chava kukwanisika kuitika mazuvano nokuti michini yedu yatinoshandisa yakaita sefoni, Tablate, zvine CAMERA, kozotizve maCAMERA acho achipa zvokuti munhu wese anayo muhombodo. Vakawanda vane ma kombiyuta zvokuti kana ukatora vhidhiyo unokwanisa kuigadziridza woichengeta yakaita zvaunoda kuti iite.

Tinoonazve kuti vanhu vanodana vanokwanisa kutorana vachirhojana kuti kana vaparadzana vagotarisa zvavaichiita kuti vahwe vari pedo napedo. Vanhu vakawanda vanozviita izvi munyika dzakawanda.
Chinonetsa panyaya dzorudo ndechokuti kana uchidanana nomunhu wausina kuroorana naye mukaita vana, zvinonetsa kuziva kuti anokuda zvakadii. Kutozve kana munhu ajaira kuvata noumwe munhu zvinonetsa kurega kuvata noumwe munhu. Saka pakuparadzana paya munokwanisa kunge muchidanana henyu asi kana mava kure nakure munoda munhu wekuvaraidzana naye. 

Zvikuru varume vanopatsanisa rudo ne Rhoji mufungwa dzavo. Unohwa murume achiti ari kungovata nanhingi hake asi haamudi, ndezvokunakigwa chete. Zvadai iwe ukazoziva kuti ari kuvata noumwe munhu ukagumbuka nazvo, ukarambana nomurume uyu, ipapo iye ane mavhidhiyo anoonekwa iwe naye muchiisana, nyaya tenyu inonetsa. Iwe somunhukadzi unoda kuti REPUTATION yako isakanganisika. Murume akaisa vhidhiyo yenyu pa INTERNET vanhu vanomukudza iye asi vanokusvoverera iwe mukadzi. Inyaya isingagadziriki nokuti kana vhidhiyo yatomboenda paInternet haichabvisikipo.

Chero ukaenda kumapurisa mukaudzwa kuti vhidhiyo ngaidzimwe pa Internet, unoona yavapo pane imwe website nokuti vamwe vanhu vanenge vakopa vachiichengetera pamafoni avo nepamakombiyuta avo. Hakuna mupurisa anokwanisa kugadzirisa nyaya dzakadai. Zvikuru kana muri kunyika dzakasiyana.

Chimwezve ndechokuti kana magadzira vhidhiyo yenyu munoichengetera pai? Ikaichengetera pa DVD wokiira DVD rako pakasimba, kana kuchewngetera pa laptop mumba, unokwanisa kupazigwa imba zvinhu zvobiwa, wozoona vhidhiyo yenyu yave paInternet. Hakuna pokuchengetera vhidhiyo yakadai panohi pakasimba. Vamwe vanoti munofanira kuisa PASSWORD paFILE yevhidhiyo yenyu. Handifungi kuti zvinoshanda zvokukwanisa kudzivirira vanhu kuona vhidhiyo yenyu.

Tinohwa vamwe vanoti kana vachinyengana vachangodanana vanotumirana mapikicha avo vasina kupfeka. Panguva iyi Havana chivimbiso chokuroorana kana kudanana kwenguva refu. Vakangopokana panyaya dikidiki vanosiyana asi uku vatova nemapikicha avo vasina hembhe. Mapikicha akadai unozomaona pa FACEBOOK, nemamwe ma Internet Pages. Unohwa murume akasvinura achinyora kuti ipikicha yehure rake ipapo uya ari kuhi hure haana kana kumbohura naye asi akangomutumira pikicha yemazamu ake. Zvinochipisa vanhu.


MuZimbabwe ukabatwa une pikicha youmwe munhu kana yako usina hembe unosungwa. Vanokusunga nokuti hazvibvumigwi kutora pikicha dzakadai. Ukabatwazve une zvakanyogwa zvinosvodesa, unosungwa. Hwisisa kuti mutemo wakadai wakaitigwei. Hakusi kuti mapurisa emuZimbabwe anofarira kusunga vanhu asi kuti vanoda kutivanhu vasazviwana pakaoma apa nokuda kwekusahwisisa zvinokwanisa kuitika. Hwisisa kuti kutorana mapikicha kunokwanisa kunakidza hako chose asi ziva pawakatsika kana moda kurambana iwe usingazivi kune mapikicha nemavhidhiyo acho. 

Dai zvaigoneka kuti mutorane asi iwe wochengeta ese, zvaiva nani asi hazvigoneki. uri munhu wechidiki nhasi asi mangwana uchaita mai vemba. 

Tinoonazve kuti kubata munhu achihura hazvichanyanyi kunetsa kana waziva kwavari kuhurira. Mapikicha nemavhidhiyo hazvinetsi kuwana. Matikitivha anotevera munhu haachadhuri mazuvano.

Mabasa emazuvano
Mazuvano kune vakawanda vanoti kana ukanyora tsamba yokutsvaka basa, vanoenda paGOOGLE vachinotsvaka zita rako kuti vaona kana uri munhu anozikamwa. Ipapo mapikicha aya awakatogwa akaiswa paINTERNET anoonekwa. Basa racho hauripiwi. Zvinoonekwa sokuti uri munhu asina unhu.

Mabasa akaita sechipurisa, Nurse, Doctor, nemamwe ari pa PUBLIC, hazvizoiti kuti upiwe basa rakadai.




Udzai vamwe!!!

Kudziya kwemuviri kunoderedzwa nei?

Ndoda kumbotaura pamusoro pe CONDITION inoitika kuti muviri wemunhu usadziya zvakakwana. Ndaita nguva inopfuura gore ndisina kuihwisisa. Ndaifunga kuti vanhu vese vane BODY TEMPERATURE yakafanana asi handizvo. Saka ndichada kumboongorora kuti chii chinoitisa kuti muviri asanyanyodziya uye zvinokwanisika kugadziriswa here.

Temerature yemunhu inofanira kunge iri pa 36.4 to 37.1 C. Kana ikaderera pasi kana kukwira kupfuura apa munhu anofanira kumiramira kutoi idzokere ipapa. Kana ari mwana mudiki akawanikwa ane temperature iri pamusoro, hana yomubereki inorova nokutya nokuti zvinotyisa. Kukwira kwe Temperature mwana avete zvinouraya vana vakawanda munyika dzese zvinova izvo zvinodzivisigwa vabereki kuvata norusvava. Kana kukatonhora munhu anokwanisa kudzikira temperature zvinokwanisazve kutyisa. Vabereki vakawanda vanofukidza vana vavo kuti vasatonhogwa.

 Asi kune vanhu vakawanda vane temperature iri pasi pe 36.4 to 37.1 C   asi pasingaonekwi kuti pane chingahi chakashata paari munhu iyeye. Munhu haaiti temperature yakafanana zuva rese. Mangwanani muviri unotonhora kupfuura manheru kuvanhu vakawanda. Izvi zvinoitiswa nokushanda kunoita vanhu. Zvikuru kukwira kwayo pazuva kunenge kuri pakati pemanhambha atataura awa

 Kozoita vamwe vanhu vane temperature iri pasi nguva dzese. Kana Dhokotera akaona kuti uri munhu akadai, anotanga nokutarisa kuti une chimwe chezvakawanda zvinokonzera kudai here?


1.      Inactivity
2.      hyroid (hypothyroidism)
3.      Diabetes
4.      Adrenal gland insufficiency (Addison's disease)
5.      Hypothalamus dysfunction
6.      Liver failure
7.      Kidney failure
8.      Widespread infection (sepsis)
9.      Excessive use of alcohol
10.   Use of  illicit drugs
11.   Medications, such as phenothiazines, barbiturates, opiates, clonidine, lithium and benzodiazepines
12.   Hypoglycaemia
13.   Impaired shivering capacity in elderly
14.   Myxoedema
15.   Starvation
16.   Malnutrition
17.   Hypopituitarism
18.   Vasoconstriction failure
19.   Kwashiorkor
20.   Erythrodema
21.   Paget's disease of bone
22.   Uremia
23.   Cerebrovascular injury
24.   Cerebral trauma
25.   Diabetic ketoacidosis
26.   Wernicke's encephalopathy
27.   Carbon monoxide poisoning
28.   Anoxic brain injury
29.   Cardiac arrest
30.   Organophosphate poisoning
31.   Spinal cord lesion
32.   Terminal malignant disease
33.   Severe hepatic cirrhosis
34.   Colds



Kuti muviri wemunhu ukwanise kuchengetedza temperature iri pa 37 apa zvinoitika zvakawanda chose asi chimwe chazvo chikashaikwa temperarture inotadza kuramba iri pamwe chete apa. Muviri unoshandisa zvimwe zvinohi ma Protein akagadzigwa nema ENZYME. Ma ENZYME awa anokasira kuvira okanganisika kana temperature yakwira mumuviri. Unokwanisa kufa kana vamwe vakasakasira kukubatsira kudzikisa temperature.

Kana kwatonhora ukanyaya kutonhogwa, vanokuwana vanofanira kuhwisisa kuti kana waita HYPOTHERMIA temperature yako inofanira kukwidzwa zvishoma nezvishoma. Ukangononikwa pedo nemoto ndipo paunotofa. Kuhosipitari vanokufukidza machira vokudziisa muviri zvishomanana. Kwahi kune umwe wekuZvimbabwe akawanikwa ari muSNOW achiita seafa akazoonekwa kuti mupenyu atova kuchipatara. Kwahi vakamuisa mufiriji ndokutanga neko kunotonhora ndokukwidza temperature yake kusvika yakwira yasvika pa 37.

Muviri wemunhu une temperature mbiri. Kunoti yemukati memuviri iyi tatinoti Body Temperature inova iyo 37 koti yepaganda inohi Skin Temperature inobatsira kuchengetedza body temperature.

Kuziva kuti temperature yako iri pasi
Kana uchiwanzorezvana noumwe munhu toti murume/mukadzi wako, mese munokwanisa kukasira kuziva kuti umwe wenyu ane temperature iri pasi kana pamusoro peyeumwe. Ukazviziva nhasi, woona zvakangodarozve mangwana asi mese musingagwari, chitanga kufungira kuti une dambudziko iri. Wadaro chirega kufunga kuti zvausina chinogwadza hauna dambudziko.

Vakawanda vane dambudziko iri vanotiudza kuti zvinotaridzika kuti varume vavo Havana mufaro nokusadziya kwemiviri yavo. Pachivanhu pedu mukadzi ndiye anodziya obva adziisa murume zvikuru kana kuchitonhora. Zvino kana tichiona munhu ane temperature iri pasi, kana kwatonhora haakwanisi kudziisa murume/mukadzi wake. Zvoita sokuti murume wake haadi kuva pedo naye.

Unokwanisazve kuona uchibuda ziya asi vamwe vakangogara vasingataridzi kupiswa. Zvinotaridza kuti pane chakanganisika. Kana zvichiwanzoitika ziva tora temperature yako uone pairi. 

Zvokuita kana Body temperature yako yadzika.
Chokutanga kutarisa zvikonzero zvinozikamwa woona kuti hauna kuzviita. Kana wakazviita chikasira kuti undoonekwa kuti ndizvo here zviri kukonzera temperature yako kuva pasi. Kana uchiziva kuti hauna kuzviita enda unoonekwa kuti vakuudze kuti chii chiri kukonzera.

Tese tinoziva kuti pachivanhu pedu ukangoudza munhu kuti une dambudziko, anokuudza kuti enda unotsvaka mushonga wekuti newekuti ugomwa zvipere. Hapana chakaipa kumwa mishonga yausingazivi kwayabva kana kuti zvainorapa. Kuda kwako kumwa mushonga, asi kuti kana une dambudziko rinoda kurapiwa, tanga wafunga nokuhwisisa kuti kune dzimwe nyaya dzinoda kuti ukasire kudzigadzirisa. Enda kwamurapi uudzwe kuti dambudziko rako riri kubva pai. Kana waziva ukazodawo hako kutsvaka mishonga yemusango, zvava kwauri. Kungomwa mushonga usingazivi  handizvo. 

Mishonga yechivanhu inowanikwa hayo asi haina DOSE kureva kuti unokwanisa kuisa OVERDOSE pama KIDNEYS ako wotowedzera nhamo. Uyezve hakuna anonyatsoziva mashandire ayo. Hazvirevi kuti haishandi. 

Varapi vanotarisa zvese voona kuti chingava chakaipa pauri chii vokupa mushonga wechimwe chezvikonzero zvanyogwa pano. Asi ngatibvumirane kuti mahosipitari haakwanisi kutarisa zvese zvikonzero izvi saka kazhinji iwe ukavaudza HISTORY yako vanoita zvokufembera kuti chinonyanya kuva chikonzero chii pazvinhu izvi. Vadaro vanokupa mushonga votarisa kuti uri kushanda here. 

Dzimwe nguva hazvina mushonga. Toti une temperature yakadai nokuda kwekuti wakangozvagwa muviri wako usingakwanisi kuziva kuti 37 iri papi. Iyi inonzi pachirungu PROGRAMMING ERROR or, MUTATION inoti vanokuona hapana chigwere chavanoona iwewo hapana chaunoona chakasiyana nevamwe asi vanokubata vanoti unotonhora muviri. Pakadai hazvigadziriki pamishonga inozikamwa. 



Udzai Vamwe!!!!!
kugutsa mukadzi pabonde



Sunday, 19 May 2013

Zvinotarisigwa kana maroorana


Zvinotarisirwa pavanhu vakaroorana
Panyaya dzese dzandakanyora pano, nyaya huru inodiwa kuhwisisa kuti kana makaroorana, chii chaunofanira iwe kuita kuti mugare makaroorana? Chii chinofanira kuitwa noumwe wako kuti mugare makaroorana?  Chii chaminofanira kuita mese kuti mugare makaroorana?  Kune vanhu vakawanda vanoona sokuti muchato unongozvichengeta wega imi pasina zvamuri kuita. Kune michato yakawanda ine vanhu vanogara vese asi pasina anonyatsoziva kuti vanogarirei vese.

Mazuvano nyika dzakawanda dzava nenhamo dzange dzisiko kare. Tine vanhu vakakura vari nherera vakawandisa. Vamwe vavo vanoona sokuti kuwanikwa kwakafanana nokupinda mu REFUGEE CAMP ye United Nations inoti kana wapinda wasvika parubatsiro Zvinozoitika ipapo yave nhamo youmwevo. Yako yapera. Koitazve varume vakakurawo vasina anopa mazano vanongoti chombo chikamira kwahi ndave murume saka ndoda mukadzi. Musi waanongovhurigwa makumbo nechimuhure chemuraini oda kutonotsvaka mombe dzokuroora nadzo. Iri idambudziko guru chose mudzimba umu nokuti vakawanda vakaroorana havatombozivi kuti vari kuitei mumuchato wavo.

Kuvata mese kwasviba handiwo muchato. Muchato chinhu chikuru chose chinoda kuti kana unacho uchihwise uye uzive kuti mafambire acho ari papi. Ukasahwisisa muchato wako unoita upenyu hune matamudziko akawandisa anosvika kuvana vako nehama dzako neshamwari dzako, zvese nevavengi vako. Munhu wawakaroorana naye anokwanisa kunofira kujeri akuuraya kana kukukuvadza.

Nyaya yandinoda kuronda pano ndeyokuti chii chinotarisigwa kuti vanhu vakaroorana vahwisise? Zvinobatsira chii uye chii chinokwanisa kuitika kana usina kuhwisisa kana kuti usingadi kuzvitevera? Vanhu vanoshanda nemitemo isina kunyogwa pasi inohi CUSTOMS pachirungu. Mitemo iyi mazuvano yonetsa kuidzidza nokuti vanhu vakawanda vanogarofamba vachiinda kure kune mitemo yakasiyana neyekwedu. Kozotizve vamwe vano kura vasina anodzidzisa.


Zvinotarisigwa kuti murume aite mumuchato
Pamurairo wechivanhu newenyika dzakawanda, murume ndiye mukuru wemusha. Basa iri ibasa guru chose zvokuti murume akasariwhisisa, musha unokwanisa kuparara. Basa iri rinotanga musi wemuchato richipera musi unofa murume. Harisi basa rokuti unokwanisa kupa umwe munu kuti ariite. Harisi basa rokuti unokwanisa kuti waRHIZAINA wobva wonogara seusiri mushandi waro. Ndereupenyu hwese.

Zvinotarisigwa kuti murume ange akadzidziswa kuriritira mhuri noumwe mukuru wemhuri yake sokuti babamunini kana sekuru. Hazviwanzoitika kuti adzidziswe nababa vake asi kuti anogaroona maitire anoita baba vake iye odzidzapo. Maitire anoita baba vemurume ndiwo anodzidzisa murume uyu. Tichitarisa varume vakawanda maitire avo tinoona kuti kazhinji murume anohura, anoba, anogarorova mukadzi nevana, anodhakwa achikangamwa kuuya kumba, anoita zvemakasi, kazhinji baba vake ndizvo zvaakakura achiona vachiita. Koitazve vamwe varume vanokura vasina madzibaba. Murume akadai anokwanisa kureriwa namai vari vega kana kuti vachibatsigwa nehamarume kana kuti vachigaroita zvikomba zvinouya zvogara nguva shoma zvopfuura. Mwanakomana pakadai anokwasa kudzidza zvakawanda agotora nzira yakanaka kana kuti yakashata zvichibva nokuti aona upenyu sei. Hachisi chinhu chakanakira mwanakomana kuti aite mai vega pamusha. Anofosiwa kukasira kukura kuda kuita murume nengari yokuti paari kukurira hapana murume mukuru.

Toonazve kuti murume anoita zvinohi zvakanaka, kazhinji baba vake munhu akadzikama. Saka kana tichitaura nenyaya yezvinotarisigwa kuti murume akaroora ange achiita, hatikwanisi kusiya vamwe vanhu vemhuri vanova ndivo vakakwanisa kana kutadza kuraira murume achiri mwana mudiki.

Murume anotarisigwa kuva munhu ane moyo murefu, anoti pakaita nyaya haangodzvamuki otanga kupopota nokutaura sebenzi, asi anotanga aterera musoro wenyaya, odzikisa hana dzavaya vari kuitaura, ozotonga nyaya kana vanhu vese vahwisisa kuti chii chiri kuitika. Murume ane moyo murefu munhu anogona kuronga mhuri yake zvine musoro.

Zvinotarisigwa kuti murume aroora ane rudo kumukadzi wake. Rudo chinhu chinonetsa kutsanangura asi chinoonekwa nemaitire emurume. Zviri nyore kuona kuti murume anofungei pamusoro pemukadzi wake nokuda kwemaitire ake. Mukadzi wemurume ane rudo anoziva ega kuti anodiwa uye anoonekwa kuti haasi munhu anofunganya. Rudo gunoonekwa nezvinhu zvidikidiki zvinoitwa nomurume. Kuterera zvinotaugwa nomukadzi wake, kuita nyaya nomukadzi wake, kuunzira mukadzi zvinhu pamwe zvisina maturo asi zvinoratidza kuti ange achifunga mukadzi wake.

Murume anotarisigwa kuti anochengeta mukadzi wake kubva pazvinhu zvinokuvadza, zvakaita sokuti


  • Haafaniri kudhiraivha mota sebenzi,
  • Haafaniri kupfuura nomunzvimbo dzisina kuvimbika,
  • Haafaniri kuva mbavha kana kuita zvimwe zvinosungisa.
  • Haaunzi zvigwere kumba, zvikuru zvechihure
  • Haanyei mukadzi wake kune vamwe vanhu zvingaitisa kuti vafunge kuti mukadzi wake munhu asina unhu.
  • Haafaniri kutambisa mari mhuri isina mari yakakwana


Murume anotarisigwa kuti anogarorhoja mukadzi wake zvinogutsa. Nyaya yokugutsa mukadzi iyi inyaya inonetsa varume vakawanda nokuti zvinovanetsa kuhwisisa kuti chinhu chikuru kuti mukadzi agute. Vanofunga kuti kupinzwa chombo kashanu pazuva ndizvo zvinogutsa. Nyaya yema RHOUNDHI inoudzwa vakomana kubva vachiri vadiki, vokura vachifunga kuti ndizvo zvinonakira vakadzi. Kuti aroora akaona mukadzi achiita sokuti haasi kunakigwa obva afunga kuti mukadzi ndiye ane dambudziko. Kukura une amwe mafungire wozoudzwa wakura kuti handizvo, chinhu chinonetsa kugadzirisa. Saka pano ngatingobvumirana kuti murume anenge achitarisigwa kuti azame kugutsa. Murume anotarisigwa kuti akwanise kubvunza mukadzi wake kuti oita sei kana mukadzi asingaguti.

Tora nguva uri mukati memukadzi wako. Ndiwo mushonga wekugutsa pa RHAUNDHI yokutanga iyoyo. Kana mozomutsirana zvimwe zvava zvenyu izvo asi mese mamboguta. 10-15 minutes uri mukati uchipota uchikoira, pamwe uchizorora, pamwe uchirezva mukadzi wako. ROUND 1 iyoyo.

Vakawanda vanotarisira murume kuti ave iye anokumbira mukadzi kuti vavatane. Murume ndiye anotanga kutaridza kuti ari kuda muviri wemukadzi wake. Izvi zvinoitisa kuti mukadzi ahwe kudiwa nomurume. Tinoziva kuti mazuvano tinokurudzira vakadzi kusununguka zvokuudza varume asi murume munyika dzese anoonekwa kuti ndiye anokwezva mukadzi. Murume ngaasaitawo mazuva maviri asina kumbokumbira mukadzi kuti avhure makumbo. Kubva pakutanga maroorana kana muchikoshesa kuvatana, chitangai kuita zvamunofunga kuti ndizvo zvamuchada mava nemakore 45. kaviri pazuva, kamwe pazuva, katatu pavhiki. whatever. Tauriranai asi murume ngaagare ataura zvaanoda, Kana achida kuita pakati peusiku ngaataure mukadzi agare aziva kukasira kunovata.

Murume anotarisigwa kuti akasire kukwanisa kutaura nemukadzi wake panyaya dzese dzoupenyu hwavo. Ichi ndicho chikuru pane zvese chinoita kuti muchato ubudirire kana kufa. Murume asingahwisisi nyaya yokutaurirana makasununguka murume asingafaniri kuroora.

Murume anotarisigwa kuunza mari mumba. Hazvirevi kuti anofanira kushandira umwe munhu, asi kuti anoshanda, pamwe anozvishandira, achiunza mari mumba. Vashoma varume vanotarisigwa kuti vagare pamba pasina zvavari kuita panyaya dzemabasa, asi kana wasiigwa vana mukadzi ashaika, zvinokwanisika kuti unomboita nguva uchirera vana vako wega usingashandi.

Murume anotarisigwa kuti anoremekedza hama dzake nedzomukadzi wake. Nyaya inoitika pamusha ndeyekuti mukadzi anosvika ari munhu ane tariro yokuvaka musha nomurume wake. Pasina kupera nguva murume asina kuchenjera anoudza mukadzi kuti nhingi wakati, nhingi wakati, nhingi wakati, kuri kureva hama dzake dzange dzisingazikamwi nomukadzi. Zvadaro mukadzi anoita ATTITUDE kuvanhu ava, achifunga kuti ari kusapota murume wake. Mhuri yoita vanhu vanopokana zvabva kumurume uyu. Murume akadai anofanira kuudzwa kuti hama hadzisi dzokudaro. Murume anotarisigwa kuti arege mukadzi azvisarudzire maonere aanoita hama dzemurume. Kana achiita ATTITUDE oita ega pasina anomubatsira. Ukaona mukadzi wako achivenga hama dzako ziva kuti ndiwe wakamudzidzisa kudaro.

Murume anotarisigwa kudya zvabikwa nemukadzi wake. Kana usingazvifariri, idya chete musi wekutanga asi muudze kuti haunyanyi kuzvifarira azive kusazozvibikazve. Anoudza mukadzi wake zvokudya zvaanonyanyofarira. Anobatsira mukadzi kuronga BALANCED DIET yemumba. Vamwe vakadzi havana kudzidza saka vanoda kubatsigwa kuronga.

Murume anotarisigwa kuti agare ari munhu akagwinya muviri, anoratidza kuti ane simba. Mukadzi akamutarisa anoona kuti murume wake munhu akagwinya anomudzivirira kune zvinokuvadza. Nyoka ikapinda mumba murume oiuraya, mbavha ikapaza imba murume oirova. mukadzi akatukwa muraini, murume onotonga nyaya kudzivirira zvakaipa kumukadzi wake.

Murume anotarisigwa kuti agadziridze kuvakwa kweimba. Kana chimwe chikavhunika murume anogadzira. Mota ikafa, murume anoronga kuti mukadzi aende kumba iye osara nemota kusvika yazouya kumba.

Murume anotarisigwa kuti atange nyaya dzemimba nomukadzi wake kuti vabvumirane kuronga mhuri yavo. Murume ndiye anotaura nyaya dzemari pamusha kuti yakwana zvokuti vachiita mwana here. Kana isina kukwana vobvumirana kuti inokwana riini uye kuti isati yakwana vanoshandisa chii kuti mukadzi asaita mimba. Kune vakadzi vakawanda vanongoti kuwanikwa nhasi mangwana ototsvaka kuti mimba oiita sei, ipapo mari yokuriritira mwana havana. Uku kuwedzera dambudziko pane rimwe. Vanhu bvumiranai kuti nguva yakwana here kana kuti haina. Kana isina shandisai zvokudzivirira mimba. Kondhomu rinobhohwa kushandisa asi kana uchiziva kuti nguva yaro ichaita shoma hazvinyanyi kubhowa.

Murume anotarisigwa kuhwisisa kuti kubata mukadzi chibharo handizvo. Kana uchiona kuti mukadzi wako haasi kuda zvinoreva kuti pane nyaya inoda kugadziriswa. Gadzirisa nyaya iyi mudzokere pakudanana. Kwezva mukadzi wako abve pakutsamwa kwaanako. Usafungazve kuti kana mukadzi abvuma kuvhura makumbo zvinoreva kuti nyaya yaange akatsamwa nayo yapera. Haina kupera. Mapedza kuisana tora mukadzi wako mumaoko womukwevera kwauri mese mohwa kudziya kwemiviri yenyu. Makadaro chiudza mukadzi kuti unoda mutaure nyaya yenyu ipere. Mataura munokwanisazve kuisana mozobatwa henyu nehope. Mangwana momuka pasina nyaya.

Murume anotarisigwa kuti asahura nevamwe vakadzi. Hakuna munhu asingazivi kuti kuhura kuita sei. Murume kutuma mukadzi wako kuti anohurira mari kuti muwane zvokudya nezvokupfeka chinhu chinohi pachirungu ABOMINATION. Hazvibvumigwi. 

Murume ngaabatsire mukadzi wake pamabasa emumba, kuti mukadzi pakunovata asava munhu akaneta. Zvikuru kana mukadzi achishanda kubasa. Mabasa emumba anonetesa nengari yokuti haaperi uye anoitwa zuva nezuva chero WEEKEND ikasvika mabasa emumba haaperi. Hino murume anenge achida kuti monovata mukadzi ange ane simba muchiuno, asi kana wamurega achingoshanda manheru ese simba haasisina saka zvimwe zvinhu zvinokunakira iye haachina hanya nazvo.

Murume anofanira kuratidza kuti PRIORITY yake youpenyu iri pamukadzi wake nevana vake. Murume haafaniri kubvuma kureregwa vana vake kana kuriritirigwa vana vake noumwe murume. Hazvina basa kuti ihama yako here kana kwete. Kana usina kuremara zvokutadza kushanda, wana mukana wekutsvaka mari yokurera vana vako wega. Garotsvaka mazano kubva kune vamwe. Gadzira mari wega nomukadzi wako. Ita kuti vana vako vakupe rukudzo sababa, kwete kungohi baba nokuti ndiwe wakavazvarisa.

Murume ngaave munhu akatsiga zvokuti akahwa chinhu chinotyisa haapapariki nacho achiudza nyika yese. Anotanga afunga nacho ozotaura apedza kuongorora zvakanaka. Pamwe anozotaura nezvacho mangwana ambovata achifunga kuti zvoitwa sei.

Murume haapopotedzani nomukadzi vana vachizvihwa chero nyaya yebopoto yakakura zvakadii. Vana ngavakure vachifunga kuti hapana dambudziko pakati pamai nababa. Vana vanongohwa muchisetsana chete kwete kutukana.

Zvinotarisigwa kuti mukadzi aite mumuchato
Mukadzi awanikwa anotarisigwa kuva munhu ava noruzivo gokuti musha unovakwa sei. Munhu svikawo pamusha wemurume uchitaridza kutsiga, nounhu. Chinhu chinohi UNHU chinhu chinonetsa kutsanangura asi chinoitisa munhu akudzwe nokuremekedzwa nevaanosangana navo. Kana ukachihwisisa upenyu hwako unofanira kudzikama.

Kumurume wake mukadzi anotaridza rudo nguva dzose chero zvinhu zvisina kumira zvakanaka. Mukadzi basa rake kuda murume wake chete. Murume anofanira kuziva kuti mukadzi wake anomuda, chero musha ukava paCRISIS yakaita sei, murume ngaave ne CONFIDENCE yokuti mukadzi wake anomuda uye anomusapota pane zvaanosarudza kuita kugadzirisa nyaya dzomusha. Ndizvo uchiona vamwe varume vanotanga afonera mukadzi asati aita chimwe chinhu, nokuti anohwisisa kuti ndikataura ndakadai mukadzi achandibvumira. Hino vamwe, unoona obva pane vamwe ofona ari uko, kuri kutya kutukwa zvinohwikwa nevakaterera. Swedera pedo nomoyo wemurume wako ugogarapo kusvika umwe wenyu afa. 

Mukadzi hwisisa mhuri yemurume wako nokukasira. Ukahwa murume wako achitaura zvakaipa pavanhu vemhuri yake, usajoina, uye usajaira kutaurawo zvakaipa pavanhu ava. Usaita ATTITUDE navo kana kufunga zvinofungwa nomurume wako. Munhu dzidza kuzvifungira wega uchibva pane zvawazvionera wega zvinoitwa navanhu ava. Dzidzazve kutsiura murume wako murudo pakutaura zvakaipa zvevamwe vanhu, zvikuru hama dzake. Hatisarudzi hama dzedu. Tinongozvagwa dziripo saka hazvitibatsiri kutaura zvakaipa padziri kana tisiri kubatsira kuvaka upenyu hwavo. Murume akaziva kuti unovenga hama dzake, musi wamunopokana unohwa ava kukuudza mashoko akaipa asi ari iye akakudzidzisa kuvenga hama dzake. 

Mukadzi kasira kuhwisisa kusiyana kwemabasa emunhukadzi neemunhurume. Isu magarire edu akasiyana neevanhu vekunedzimwe nyika pakuti tichiri kuziva kusiyana kwedu nevarume vedu. Mukadzi kana usingagoni mabasa echikadzi, kasira kudzidza. Kana wawanikwa zvoreva kuti wava MANAGER weupenyu hwemurume wako, vana vako, nemusha wako wese. Utano hwemhuri ibasa remukadzi. Pakashaikwa zvokudya iwe ndiwe unopedzisira kudya, vamwe vese vaguta.

Mukadzi anotarisigwa kuti akwanise kuziva BALANCED DIET uye kugona kubika, zvikuru kubika zvinodiwa nomurume wake uye kuzviisa muBALANCED DIET yemhuri.   Kubika chinhu chikuru chose zvokuti hazvifaniri kuti unge usingagoni. Kana une mari yakawanda zvokuti unokwanisa kutenga zvakatobikwa kare zuva nezuva, usafunga kuti murume wako achafara nazvo. Anoda kuti upote uchibika. Kuita HouseGirl hazvirevi kuti hauchabiki. Onekwa uchibika. 

ZvemaHOUSE GIRL izvo kungozvitsvakira nyaya mumba nomurume wako nokuti kana usipo murume wako achafunga kuvata na HOUSE GIRL. Imhosva yako iyoyo. Kana wada House Girl tsvaka munhu ava munhu mukuru kuma 60 years old. Kwete musikana ane mazamu akamira nemagaro ane Swing kana achifamba mumba mako. Bodo. 

Mukadzi anotarisigwa kuti ave munhu anogeza nokutaridzika akanaka. Kana murume wako akunyenga nokuda kwerunako gwako, unofanira kuona kuti iye agara achiona kuti unotaridzika wakanaka. Kugeza chinhu chakanakawo. Kungozoda kutaridzika uri munhu akanaka wava kubuda handizvo. Murume wako ngaakuonewo uchitaridzika wakanaka mumba menyu. Pane uwe munhuwi unoitika pamuviri usinei nokuti wageza here kana kwete, unohi BODY ODOUR pachirungu. Wana mukana wekubvisa BODY ODOUR  kuti murume wako asagarohwa  munhuwi uyu kana makagumbatirana. BODY ODOUR  inoitiswa ne ma BACTERIA anogara pamuviri wemunhu. Zvikuru panhu pakaita se apa:
1 muhapwa
2 Pasi pemazamu kana une mazamu akawa
3 mu ma FOLDS eganda kane uri munhu mukombu
4 pakati pemagaro
5 pamberi uye pasi peganda ragafukidza bhinzi

Pese apa pota uchigeza ne Vinegar kamwe chete pavhiki kuti maBACTERIA awa anonhuwisa afe. Unozvinyorovesa panzwimbo idzi neVINEGAR wombosiya zvakadaro 10-15 minutes, Wozopinda mushawa kana mubhavhu wogeza. Hwisisazve kuti kuno kumusoro panosangana matinji pane bhinzi panoita gweme (SMEGMA) kana usingapegezi zvakanaka. Gweme rnokwanisa futi kuita pakati pematinji. Zvikuru kana uchigarosinira nokuda kwezemo. Hwisisa kuti unokwanisa kuita zemo ugosaziva kuti waita zemo. Kuzasi kunozvimbirira zvikuru kana uri kuhope, iwe ugotadza kuziva kuti ndizvo zvaitika. Panodawo VINEGAR kamwe chete kana kaviri pavhiki. Wopukuta ne chimucheka kana COTTON WOOL ine VINEGAR, wombosiya 10-15 minutes, wozonogeza.

Pane nguva muupenyu hwako nomurume yokuti munosanga musina kupfeka. Ipapo hauna chaunokwanisa kuvanza, kana une hwema murume anotoziva chete kuti une hwema. Saka kugara wakageza zvakanaka chinhu chikuru.

Ibasa romukadzi kuona kuti murume haachengetedzi urume mumuviri wake kwenguva refu. Kuhutapudza ibasa romukadzi wake. Hazvifaniri kuti murume ashuve kuvata nomukadzi iye ane mukadzi mumba. Murume ngaagare achiziva kuti chero paadira kuvata nomukadzi wake, mukadzi akazvigadzirira kuvata naye. Kana ati anoda kukurhoja pakati peusiku dzidza kuiswa uri kuhope. Hazvinetsi kuita. Chikuru ndechokuti murume aite CONFIDENCE yokuziva kuti akati anoda kuvata nomukadzi wake, mukadzi haarambi. Udza murume wako kuti chero paadira iwe unoda, chero maitire aada, iwe unozama kuita. Kukapera nguva akati zii asina zvaati anoda, muudze kuti pava nenguva. Chimwezve wana mukana wekuratidza murume kuti uri kuda kuvata naye. Hazvisi zvikuti akanyarara iwe wotsamwa uchimirira kuti agobvunza kuti zvaita sei. Iwe wega bata bata murume umuudze kuti zvokungovata pasina chaitwa hauzvikwanisi iye aripo. Kana pane chiri kumudya moyo rega ataure. Apedza muudze kuti chiukuru upenyu uye kuva pamwe chete. Mbundikira murume wako ahwe ane SECURITY mumba make. 

Mukadzi anotarisigwa kuti pakuvata nomurume wake ave munhu akasununguka pakuzviita kwete kufunga kuti ibasa remurume chete. Nderenyu mese saka gamuchira murume wako nomoyo wose. Worerusa nyama dzomuviri, woshandisa chiuno murume ogara achiziva kuti mukadzi anoda zvokuvatana naye. Wodzidza kusiyanisa nguva, maitire uye nzvimbo dzokuitira.

Toti muri kuona TV, poitika zvinoitisa zemo paTV, taridza murume wako kuti zvakuitisa zemo. Unokwanisa kuisa ruoko pamberi pemurume wopurudzira kusvika amira chombo. Varume havanetsi kumisa chombo uye kukurudzira kuti avate newe. Ukangomupurudzira pamberi unoona pava kutofuta wovhura zipi wotamba naye kusvika iye ajoinirawo, motoisana.

Mukadzi anotarisigwa kuti achengete nyaya dzomumba mumoyo make asingaudzi vamwe, hama neshamwari. Zvomumba menyu ngazvive CONFIDENTIAL mumba menyu pauviri hwenyu. Kunyeya murume kwakaipa. Akazviziva haazokuudzi zvimwe zvaunofanira kunge uchiziva. Iyi inyaya inopokanisa vanhu vakawandisa asi inyaya isinganetsi kugadzirisa. Dzikamisa hana uye munhu wehama akakubvunza zvinhu zviri CONFIDENTIAL muudze kuti zviri nani abvunze murume wako. 

Mukadzi anotarisigwa kuhwisisa nyaya yokuchengetedza mari. Hazvinei kuti iwe unoshanda here kana kwete. Kushandisa mari zvakanaka chinhu chikuru mumba. Munokwanisa kupokana nenyaya iyi. Mukadzi ngaasatambisa mari. Iwe mukadzi ronga nyaya yokuisa mari mu SAVINGS account kuti mukadzingwa mabasa munge mune mari yokushandisa muchitsvaka mamwe mabasa.

Kana wada kuita mimba, tanga waona kuti mari yokurera mwana munayo, wogara pasi nomurume wako moronga yemimba mese kwete kuti wega wongofunga kuti wava kuda mimba wobva waita. Bvumiranai kuti nguva yakwana. Zvinobva zvatonakidzawo kuti pamunovatana unoudza murume kuti ngaaite zvinoitisa mimba. Mese moita muchiziva kuti ndezvemimba. 

Mukadzi ngaadzidzewo kuemera murume wake. Izvi zvinoitigwa kuti muwane nguva yokutamba mese. Kuema sechimwana chidiki zvinokudzoserai pakutamba sevana. Kungogara makaita masiriyasi mumba handizvo. Murume wako ndiye shamwari yako, ndiye muchengeti wako, ndiye baba vevana vako, ndiye mudikamwi wako saka pamwe unombotamba naye kudzokera paupwere. Unokwanisa kumukonzera kuita zvechipwere, kuti mutambe.  Sokuti ukaona akasuwa unokwanisa kumuti “Mwanangu uya kuna mai umwe mukaka.” Womubudisira zamu. Kungoti aseke kana kutomwa zamu racho, kuti imwe nyaya ichitanga.

Mukadzi ane murume haafaniri kuva nezvinomusvodesa pakati pake nomurume wake. Dzidza kuonekwa nomurume usina kupfeka. Zvinonetsa kuona pamberi pako usina MIRROR saka kana pane zvanetsa iti murume atarise akuudze zvapakaita.

Mukadzi anotarisigwa kugera vhudzi repamberi (choya). Kana wada kuchengeta vhudzi pamberi, chengeta riri pfupipfupi. Unokwanisazve kugera murume wako ogarawo ane vhudzi diki pamberi. Iyi itsika yave kunyika dzakawanda mazuvano. Iwe usatanga kubvunza kuti zvinoitigwei. Ingotevedzera wakanyarara. 

Mukadzi anotarisigwa kusahura nevamwe varume. Hakuna munhu asingazivi kuti kuhura kuita sei. 
Ndakahwa umwe achiti "Hapana chakaitika, akangondibata magaro chete" Unobatwa magaro nomurume asiri wako sei? Ndiko kutohura kwacho ikoko. Kana akakubata magaro iwe usingadi, kasira kundoudza mapurisa kuti pane munhu akubata magaro. Mapurisa haaregi kusunga munhu akadaro. Iye ega akaona mapurisa anotanga kutiza nokuti anoziva kuti magaro emukadzi asiri wako haabatwi. 

  • Kubatwa magaro/mazamu
  • Kukisa umwe murume
  • Kutumira WhatsApp/FaceBook/TEXT inosvodesa
  • Kufamba makabatana maoko
  • Kuvata naye
Zvese izvi chihure hazvibvumigwi. 


Mukadzi anotarisigwa kuchengeta imba yakachena kwete kungorega zvinhu zvakaranganyika mumba. Kana uchishanda ronga kuti pa Weekend woitawo two hours nomurume wako yokugadzira mumba. Madaro womupawo REWARD pazviri. Kuudza murume mava kunovata kuti wakaneta handizvo nokuti iye anenge ane zvaagara atofunga saka fungwa yake iri pakuzviita. Nguva yokuudza murume izvi ndeyokuti mapedza kudya makagara muchitandara mese wotanga nyaya yokuti hazviiti kuti ugare wakaneta nokuti zvinokanganisa dzimwe nyaya dzakakosha kwamuri mese.

Mukadzi anotarisigwa kufarira kugamuchira hama dzemurume pamusha pake. Zvinoitika pachivanhu pedu kuti vanhu vanouya pamusha vasina kukuudza. Dzimwe nguva mwedzi wava pedo kupera saka mari pamusha hapana, asi hama dzauya dzinoda mari yebhazi kudzokera uye dzauya musingafungiri. Mukadzi ratidza kufara nazvo uye kutenda kuti vaita rudo kuzokuonai. Kana murume ane nyaya navo dzemari rega iye ataure navo kuti kana vodazve kuuya vatange vakuudzai. Iwe unoudza hama dzako iye dzake. Asi hwisisazve kuti vanhu vanouya vasina kumbofunga nezvokuti mari inobvepi. Kana umwe wenyu achishanda hama dzinofunga kuti mune mari yakawanda. Usataridza kusafara nazvo. 

Zvinotarisigwa kuti mwana aite mumhuri
Vana vanotarisigwa kutevedzera maitire evabereki vavo zvinoreva kuti mubereki ndiye anodzidzisa vana maitire nokuda kwezviito zvake. Mazuvano okuti umwe mubereki ari ku Zimbabwe umwe ari Joni anonetsa nokuti vana vanokura vasina BALANCE pamaonere avo. Saka kuti tese tihwisise ngatingoti mwana anodzidza pakuona kwete pakuudzwa chete. Ukaudza mwana kuti akudze vanhu vakuru asi iwe uchirova mai vake, hazviiti kuti ahwisise zvauri kumuudza. Kana akura achangorovavo mukadzi wake. Kana ari musikana achangofunga kuti murume anofanira kumurova. Ukagarofoya kana kupopotera murume, vana vanongofunga kuti ndizvo zvinoita mhuri dzese. Ndizvo zvaakaona uchiita. Izvi zvinoitika munyika dzese.

Dzidzisa mwana nokumuudza zvese nokumuratidza. 

Zvinotarisigwa kuti hama dziite mumhuri
Hama dzese dzinotaridzigwa kubatsira mhuri yomurume, mukadzi nevana kuvaka musha wavo. Hama ngadzisagaroda kuratidza AUTHORITY pamhuri diki iyi. AUTHORITY unoipiwa kana kutungamira kwako kwakanaka pakubatsira kwako. Munhu mukuru haafambi achiudza vadiki kuti ndiye mukuru. Maitire ake ndiwo anoratidza kuti ndiye mukuru. Kana waona kuti mhuri iyi iri kuitigwa zvakaipa, iwe mukuru daidza munhu wacho ari kukanganisa umukumbire kuti aone kukanganisa kwake.

Ukahwa kuti mhuri diki iyi ine dambudziko pakati pavo enda unovakurudzira kugadzirisa pauviri hwavo kana kuudza umwe mukuru wemhuri zvikasire kugadzigwa.

Kana uchiona kuti kuronga kwavo hakuna kukwana, enda unobatsira zvisina muripo pazviri. Hama vanhu vanofanira kuvaka hama dzechidiki kwete kuwedzera dambudziko. Tinoziva kuti majerasi ane simba kupfuura rubatsiro asi munhu mukuru zama kuramba uri parubatsiro chero uchiziva kuti vana ava havatendi.

Mazuvano hama dzakachenjera dzinokurudzira vechidiki
Kuita vana vashoma,
Kuisa mari muBHANGI,
Kutenga imba, 

Kuronga insurance yevana vechikoro kuti vazosvikawo kuUNIVERSITY,
Kudzidzisa vana unhu
Kugadzira mazano okuwedzera mari.

Zvinokosheswa nomurume nomukadzi vese
Tichipa SUMMARY toti pane zvinhu mumba zvinounza mufaro zvinoti chimwe chikashaikwa, mufaro unoita mushoma zvokuti pamwe mopedzisira marambana asi iri nyaya yaikwanisa kugadziriswa zvisina nguva. Vanhu vakawanda vanorambana ukatarisa chikonzero chacho unoona kuti chinhu chisina maturo chokuti dai vaikwanisa kutaudzana nacho murudo vaikwanisa kuchigadzirisa pasina kana 5 minutes.

Chinhu chinonetsa mudzimba dzedu ndechokuti vakadzi hatidi kupa varume Authority yokuva mukuru wemba iri ngari yokuti pane zvaaita murume uyu saka andishora. Iniwo handichamupi Authority yaange anayo.

Mukadzi kusada kuiswa panguva yada murume kuisa. Izvi zvinoita varume vahwe sokuti mukadzi amushora chose. Murume anoruza CONFIDENCE pakuva murume kwake opedzisira oti haachakudi. Ukamudembera ukamuudza kuti unomuda, ukamuudza kuti wange uchimushuva pese pamange muchipopotedzana unotoona munhu orerusa moyo kozosviba watomborhojewa mese monyemwerera. Asi zvinoda kuonekwa nguva ichipo, kwete kumirira murume atanga kunyenga vamwe vakadzi.

Hama dzinoda Management uye PSYCHOLOGY yokudzisanganisa kuti vese vaone kuti mumba menyu muri pamwe chete pakufunga uye mune rudo. Hama dzinokupatsanisai kana musina kuchenjera.

Summary Yezvemumba.
1 Kuziva kuti zvinhu zviri CONFIDENTIAL ndezvipi mumba
2 Kuvimbana nokusahurirana
3 Kudanana nomoyo wese
4 Kuziva mabasa ako iwe somurume/mukadzi nokumaita zvakanaka
5 Kusatambisa mari pane zvinhu zvisina maturo
6 Kuda hama dzenyu mese zvakafanana
7 Kupanana zvokuvatana nguva yese yada umwe (sex on demand) kuti umwe akada umwe womupa pese paadira. uye kuratidza kuti uri kuda kuvata noumwe wako nguva dzese. kubvunzana zvamunoda kuitigwa. Usarega murume/ mukadzi wako achikukumbira semunhu auya kuzokumbira mari yechikwereti. Kana waziva kuti murume/mukadzi ane zhara yeRhoji, mupe zvaari kuda agute moyo ugadzikane.
8 Kutamba mese seshamwari muchitaura nyaya nedzimwe dzisina basa muchiseka mese.
9 Kuziva kuti mune vana/muchaita vana saka munofanira kugadzirira upenyu hwavo
10  Kukumbira mazano kumukuru wemhuri kana nyaya dzaipa.
11 Kuti waona kuti wakanganisira umwe wako wokasira kukumbira ruregerero, hazvinei kuti umwe wako mudiki kwauri kana kuti haana kudzidza sewe kana kuti unotambira mari yakawanda kumupfuura.
12 Kugaroudzana kuti munodanana, udza umwe wako kuti unomuda nomoyo wose.
13 Kuchengetedza muviri wako wakanaka zvawange wakaita muchinyengana
14 Kubatsirana pamabasa epamusha kuti umwe asaneta kupfuura umwe
15 Kuronga nyaya dzese dzeupenyu hwenyu pamwe chete kwete kuti uyu woronga zvake uyo zvake.
16 Kugara pamwe chete chero zvodii. Hakuna muchato unokwanisa kumira varidzi vari kunyika kana nzvimbo dzakasiyana kwenguva inopfuura mwedzi mitatu. Ngatisanyeberana.
17 Kutaurirana nguva dzese chinova ndicho chikuru pane zvese. Usambotsamwa zvokubva wanyararira murume/mukadzi wako kwezuva rese. Ukaona achizama kutaura newe chiziva kuti zvamudya moyo. Regerera umwe wako nyaya yopera asi wamuudza kuti chii chawanga wagumbuka nacho.
18 Kuita nguva mese. Kana wapedza basa nanga kumba kune mhuri yako, kwete kumbofamba nemaraini. Wanai zuva ramunoti nderemhuri rinozikamwa nemi mese nevana kuti baba namai vanenge vari kumba vese musi wekuti. Iroro izuva rakakosha zvokuti zvese zvamunoita ndezvemhuri. Isu tinozama kuti musi weSunday hativhakashiri munhu. Tinozama kusavhakasigwa nevanhu. Inguva yedu. Tinononoka kumuka, tosweroita mabasa edu pamwe chete. Family day. Imi tsvakai zuva renyu ramunoda mese.

19 Kuita zvinhu zvenyu semhuri imwe chete, kwete kuti uyu womuka wotora vana vaviri woenda kuWhisiri, uyuwo ozomuka otora mwana asara oenda kuRhoma. Zvinotaridza kuti mese makatadza kusarudza munhu wekuroorana naye. Kuwhisiri kwawaenda uchanotaura navanamai veko vanokupa mazano eko, murume ari kuRhoma achipiwa mazano eko. Pamunosangana munoita mazano api?

Kana uchiziva kuti haukwanisi kugarisana noumwe munhu semagarire atatsanangura awa, zviri nani usaroora kana kuroogwa nokuti uchakanganisa upenyu hweumwe munhu uye hwevana. 


UDZAI VAMWE!!!!!

kugona kubata murume
kugona kubata mukadzi
Zvorudo
Kudanana
Kuda murume
Kuda mukadzi


Saturday, 18 May 2013

Mitemo yenyika pakurhojana kwevanhu

Mitemo yenyika pakurhojana kwevanhu
Kune mitemo yakawanda yatinofanira kuziva panyaya dzokurhojna kwevanhu. Mitemo iyi yakaitigwa kuti umwe noumwe munhu ahwe akasununguka pane zvaari kuita. Mitemo yakawanda panyaya idzi inosungisa varume kupfuura vakadzi. Izvi zvakabva pakuti kare vakadzi vaingobatwa zvisina kufanira votozoita zvokuchengetwa utano hwavo nehazvanzi kana vana baba vavo kuti vaya vavabata varangwe. Zvaizoonekwa kuti paiita hondo pkati pemhuri zvichibva pakuti vasikana vemhuri vabatwa sei. Kwaitizve kana wawanikwa, murume akakurova, waikwanisa kunotaurira hama dzako dzouya dorova murume wako, kumudidzisa kuti kwawakabva kune vanhu.

Chibharo:
Mazuvano nyika zhinji dakaisa mitemo yokuti ukaidarika unokwanisa kusungwa. Mutemo mukuru ndewekubata mukadzi chibharo.  Chibharo chinonetsa varume vakawanda kuchiwhisisa. Munyika dzakawanda kubata mukadzi chibharo zvinoreva kuti

Kumanikidza mukadzi iye asingadi.

Kuti murume apinza chombo mukadzi omuudza kuti haachadi iye oramba achiita.

Kubvisa bhurugwa nokupinza chombo kumukadzi asingazivi kuti ndizvo zvauri kuita, toti  akadhakwa kana kuti amwa mushonga, kana kuti wangomuwana avete asiri mukadzi wako. Kana uchitengera munhukadzi doro musi wamasangana, hwisisa kuti kana akaenda newe kumba kwako, adhakwa, zviri nani usavata naye.

Kuvata nomusikana ane makore ari pasi pemakore emukadzi mukuru. Iyi inyaya inonetsa nokuti mutemo uyu wakasiyana munyika dzakasiyana. Mu UK kune makore akasiyanazve pzviri. Kunoti kana uri musikana wechidiki unofanira kuva nemakore 16 usati wavata nomurume wechidiki ane makore ari pasi pe 20. Kana wada murume ati kurei unofanira kuva nemakore 18.

Kuvata nomunhu ari pasi pako pabasa zvinokwanisa kuhi wabata chibharo. Hazvibvumigwi pakawana.

Kufosa umwe munhu, murume kana mukadzi kuti akumwe chombo

Kupinza chinhu chisiri chombo mune umwe munhu iye asingadi. 



Zvokuita wabatwa chibharo
Kana wabatwa chibharo nomunhurume akakupinza chombo asina kondhomu, usageza usati waonekwa nemapurisa.  Mapurisa akasvika pawabatigwa chibharo, vanoda kurora urume kubva muchitubu chako voendesa kunotesitwa kuti ndohwani.  Murume anokwanisa kuudza mapurisa kuti wange wamuudza kuti unoda kuvata naye.  Pakudaro atobvuma kuti mavata mese zvinoreva kuti chasara kungoti wange wabvuma here kana kwete. Kana pamberi pako pachiratidza kuti wapinzwa neganyabvu murume anoenda kujeri. Kana pachiratidza kuti mavata mese zvisina ganyabvu, vanotarisa kuti wambomaranzura murume here kutaridza kuti haudi, wambochema here kana kuridza mhere? Kana mapurisa akawana banga kana chimwe chinokwanisa kushandiswa kushisidzira mukadzi chiri pamurume uyu kana mumota yake, murume anoenda kujeri.

Kana murume akubata chibharo ari murume wako, mapurisa haatsvaki zvakawanda. Vanongoziva kuti pane chanetsa kuti mukadzi adaro kumurume wake. Murume anosungwa.

Munhukadzi haafaniri kujaira kuva ega nomurume waasinganyatsi kuziva. Asi semagarire edu isu vatema tinokwidzwa mota nevanhurume pakufamba nzendo mopedzisira mangova vaviri mumota iyoyo.  Varume havawhisisiki mafungire avo. Anokubhadharisa mota yake agodazve kukubata chibharo. Pamwe anouya kuzokugadzirira chimwe chinhu mumba opedzisira oda zvimwe.

Mu UK kana murume akahi abata chibharo kana kuti abata muviri wemukadzi asiri wake zvisina mvumo, haachabvumigwi kushanda mabasa akaita seeana DOCTOR, DENTIST, NURSE, TEACHER, CARER, COUNSELLOR, BUS DRIVER, kana rimwe basa rinoonekwa vanhu. Chinonetsa ndechokuti kana murume akapomegwa mhosva yaasina, chero akanotsukunugwa kukoti, zvinokwanisika kuti anodzingwa basa agotadzazve kuwana rimwe.

Kana uri munhurume, usajaira kuwanikwa uri panyaya yokuti munhukadzi anokwanisa kukuti wamubata chibharo. Usavata nomukadzi wawangosangana naye mubhawa kana CLUB. Usina kunyengana naye kwenguva.

Mu UK, zvokuti wabata munhukdzi chibharo ukashandisa kondomu hazvina zvazvinokubatsira. Zvinongotaridza kuti wange uchida kuvhara chakaipa chawaita.

Zvimwe zvinoitwa nevarume
Kune varume vanogara mumba mune gwaro rokuti akauya nomukadzi mumba otanga amuti kana achida kuvata naye ngaasaine. Izvi pamutemo wemu UK hazvishandi pakubatwa chibharo.

Chokutanga ndechokuti mukadzi anokwanisa kuudza mapurisa kuti akamanikidzwa kusaina. Chechipiri ndechokuti pamutemo mukadzi akaudza murume kuti haachadi kuiswa ivo vatomboita nguva vachiita, murume akaramba achiita, anosugwa nekubata chibharo.

Kubata munhukadzi zvisirizvo (sexual assalt) 
Murume akabata mukadzi waasina bvumirano naye magaro, mazamu, kana imwe nhengo yomuviri wake anokwanisa kusungiswa otoenda kujeri. Nyaya iyi inonetsa pakuti zviri kumunhukadzi wacho kuenda kumapurisa kunovaudza kuti murume nhingi aita chokuti. Murume uyu anokwanisa kuramba kuti akazviita asi zvinonetsa nokuti pane vanhu vaviri apa. Mukadzi  ari kuti murume akaita asi murume ari kuti haana chaakaita. Nengari yokuti varume vakawanda vanoreva nhema, ukaenda kukoti nenyaya yakadai kazhinji koti inoti mukadzi ari kutaura chokwadi.

Hapana chinhu chingaratidza kuti wabatwa zamu saka kuudza mapurisa zvinoreva kuti unoda kuti vaterere zvawataura vagobvuma kuti zvaitika. Pakadai zvinobva nenyika yauri uye ganda romuviri wako. Kana uri munhu mutema mukadzi akuendesa kumapurisa ari murungu unokwanisa kutosungwa chero wazviita chero usina. Izvi zvinobva pakuti vakawanda vechitema ndivo vanofarira zvechibharo. Ukatarisa STATISTICS yezvechibharo mu UK wokombeya nevanhu vemarudzi akasiyana siyana, uchaona kuti varume vasingazezi kubata vakadzi chibharo ndeveku MIDDLE EAST neveku AFRICA. Iyi pamwe ingari yokuti kunyika dzavo murume anokwanisa kubata mukadzi chibharo pasina zvinoitika kwaari. Kwedu kuZimbabwe Chibharo hachibvumigwi asi vakadzi vakawanda vanongobatwa chibharo pasina zvinoitika kuvarume vanodaro.

Mitemo yevana:
Kune dzimwe nyika kune mitemo miviri yokuchengetedza vana. Kunoti mutemo unohi AGE OF CONSENT kureva makore emusikana okuti musikana ahi akura zvokuti anokwanisa kuzvisarudzira kuti ovate nomurume here kana kwete. Kozotizve makore okuti vabereki vake vakamubatsira kusarudza.  Toti musikana aita mukomana wake waanoda kuroorana naye asi makore ake ari pasi pe AOC. Pane nyika dzine mutemo wekuti vabereki vakati ngaaroogwe anokwanisa kuroogwa makore ake asina kukwana. Kwedu kuZimbabwe zvaimbobvumigwa kuti musikana ane makore 12 awanikwe kana vabereki vabvuma. Kuti azvisarudzire aifanira kuva nemakore 16. Mazuvano kwangosara 16. Kana uri murume, ukavata nemusikana ane makore ari pasi peawa, unosungwa.

Kana uchigara munyika isiri yako, verenga kuti mitemo yavo yakamira sei usati watanga kuvata nevanhukadzi vemo.

Pamutemo musikana akaudza mukomana kuti ane makore 18 iye ane 15. Mukomana akavata naye anosungwa chete. Chero vakazoroorana mukomana anongohi ane Criminal Record chete.

Munhu akambozviita
Kana ukasangana nemukomana akambobata munhukadzi chibharo ukazviziva, kasira kumusiya akadaro nokuti uchabatwa chibharo iwe pasina kupera nguva. Varume vanobata chibharo vane chigwere chefungwa chisingarapiki. Usazviudza nhema kuti kana achiwana rhoji yakakwana kumba haaiti zvechibharo izvi.  Vakawanda vanongoramba vachiita chete. Kungoti zvimwe hazviudzwi mapurisa nokuti vakadzi vakawanda havadi kuzikamwa kuti vakabatwa chibharo. 

Zvinofanira kuhwisiswa nevarume. 
Chokutanga ndechokuti mupasi rese mune vanhu vanoti vakadzi 52% varume 48%.  Pavarume vashoma ava, kunohi ngochani dzinoita 11% yevarume, ngochanikadzi dzichiita 8% yevakadzi. Izvi zvinoreva kuti kune vakadzi vakawanda kupffura varume zvinoreva kuti kune vakadzi vasingakwanisi kuwana varume. Saka totarisa varume vanoita mhosva idzi tinoona kuti hazviitiswi nokushaya mukadzi asi kuti pane chimwe chinoitisa zvakadai. 

Asizve kana uri murume muChina unofanira kuziva kuti varume munyika iyi vakawanda kupfuura vakadzi, iri nyaya yokuti vanobvumigwa mwana umwe chete saka vakaita mwanasikana kazhinji vanouraya vachida mwanakomana. Mu Greenland varume vakawanda kupfuura vakadzi. Mu India hurumende yeko iri kuzama kuti vanasikana vasauraiwa sezvavari kuita mazuvano. Kunohizve zvinonetsa kuwana musikana muIndia ndosaka iri nyika yechibharo.

South Africa nenyika dzoku South America Chibharo inhamo huru. 


Ngochani
Kune nyika dzisingabvumidzi zvoungochani zvokuti ukabatwa kuti wange uchivata nomunhurume iwe uri murume, kana kuti mukadzi iwe uri mukadzi, unokwanisa kusungwa chero munhu wacho ava munhu mukuru uye mawirirana kuvatana pachenyu. Kune nyika dzisingazvibvumiri, zvikuru kuAfrica nokunyika dzechi ARABHU. Muzuvano zvonetsa nyika idzi nokuti zvikahwikwa nenyika dzinovapa zvipo zvemari, zvipo zviya zvinomiswa. Nyika dzinopa zvipo dzinoti idzo regai vanhu vanoda kurhojana varhojane madire avo chero vari vakadzi vese, varume vese, kana mukadzi nomurume. Kana vasingakuvadzani hazvinei nehurumende. 

Kwedu ku Zimbabwe vatongi vanonyebera kuti hazvibvumigwi asi gore rimwe nerimwe ngochani dzinoita gungano radzo muHarare chaimo dzoimba nziyo dzichifamba mumaSTREET eguta iri pasina anombosungwa achibvunzwa kuti akambovata nani. Izvi zvinoreva kuti mitemo yenyika panyaya iyi haina ane basa nayo. zvinotozikamwa kuti vamwe vakuru muhurumende yedu vanoita zvechingochani pasina anombovasunga. Asi zvadaro mitemo yenyika inoti chingochani hachibvumigwi. Kuti usungwe unofanira kunge waita zvimwe zvinowedzera kusungiswa kwako, sokuti uri ngochani wobata chikomana chidiki chibharo. 

Kana uri kunyika dzechi Arabhu ukabatwa uchivata nomurume iwe uri murume, kana mukadzi iwe uri mukadzi, unokwanisa kuurawa, nokuti vanotevedzera zviri mumabhuku avo e Islam ya Mohamedhi kuti waita izvi ngaaurawe. 

Kana wabatwa munyika ye IRAN, vanokusunga iwe neumwe wako, vokutii musarudze kuti anoda kuitwa operation pakati enyu ndeupi kana muri varume, Umwe wenyu wochekwa chombo woiswa bhuri kuti aite mukadzi. Zvadaro morhojana sezvinoita mukadzi nomurume asi imi makazvagwa muri varume mese. Kufunga kwavo vanoti murume anofongorera umwe murume zvinoreva kuti chombo chake haana basa nacho  saka ngachibve aite mukadzi. 

Kubata mhuka chibharo
Toti wawanikidzwa uchirhojana nemhuka yakaita sembwa, mombe, dhongi, bhiza, gwai, mbudzi, mutemo unoti mhuka haikwanisi kubvuma kuvata newe saka zvinohi waifosa. Zvadaro unokwanisa kuenda kujeri. Kune nyika dzechiARABHU vanotanga vatarisa mhuka yacho. Kana iwe uri murume ukabatwa une mhuka hadzi, zvinokuitira nyore pane kuti ukabatwa nemhukarume apo vanokuti uri ngochani, vokusungisa nomutemo wehungochani.  Kana uri mukadzi hazvitombobvumigwi kuti uwanikwa uchirhojewa nemuka. Kuno kuEurope kune vanhukadzi vanodzidzsa imbwa dzavo kuvata navo. Hakuna munhu ati ambosungwa nenyaya iyi. 


Kubatwa uchirhoja/rhojewa mukadzi/murume wemunhu 
Nyaya yechihure inorambidzwa munyika dzakawanda. Kunyika dzine vanhu vakasvinura pakuipa kwekuhura unokwanisa kuurawa. Kana ukabatwa uri mumba memuridzi wemunhu wauri kuhurira, muridzi anokwanisa kukuuraya agoenda hake kujeri asi kwemakore maviri kana matatu. Kana wabatwa uchihura, ukawana mukana tiza hako wozosungwa uri mupenyu. 

Vamwe mazuvano kwava nefoni dzine makamera, kana akubata uchirhojana nomurume/mukadzi wake anokasira kutora pikicha dzenyu makadaro zvokuti kana nyaya yenyu ikaenda kukoti, hazviiti kuti murambe. 

Munhu anovata nomunhu waanoziva kuti ane murume/mukadzi,  wemunhu anenge atozvipira kufa hake zvikuru kana vasingashandisi makondomu, asi kuurawa nomunhu waunoda kwakasiyana nokuurawa nomunhu anokuvenga. 


Statistics 
Kana uchihwisisa ma STATISTICS kuti anorevei imbotarisa zvakanyogwa pa nyika ye United Kingdom mukupera kwegore ra 2009. Utarise kuti proportion yevatem munyika ugotarisa kuti proportion yavo mumajeri iri papi. Kana wahwisisa izvi wofunga kuti ukahi waita mhosva, ukaendeswa kukoti unonofamba sei ikoko.