Thursday, 25 July 2013

Kuchengera murume/mukadzi

Tinogarohwa nyaya dzakawanda chose dzevarume/vakadzi vanochengera. Vamwe vanoshandisa mazano okuti mukadzi asatombobuda mumba iye asipo. Mukadzi haabvumigwi kuenda kusupermarket ega. Haabvumigwi kudhiraivha mota kana kufambafamba murume asipo.

Varume veChiArabhu vanotokusingasa kana ukabuda mumba usina hama yokukutarisa kuona kuti hauhuri. Vedu varume havazosviki uko asi varipo vanochengera kusvika pakutonyadzisa vanoona zviri kuitika. Unoona murume asingambotambiri mari yakasvinura achirambidza mukadzi kushanda kwahi rera mwana chete zuva rese. Ipapo mukadzi akatodzidza kupfuura murume uye basa rake rinopa mari.

Kunozoti mwana uya akura zvokuenda kuchikoro kureva kuti mai vanokwanisa kushanda, unoona somuno mu UK murume oti zvikoro hazvigoni kudzidzisa vana zvakanaka. Iwe chigara nomwana kumba uite HOME Schooling, uone marhizeni opiwapo kuti zviite sokuti munhu anei nomwana izvo bodo kungoda kuti azive kune mukadzi kana iye ari kubasa.  Murume akadai anofonera mukadzi wake kashanu kana gumi pazuva, Kwahi
Mwana ari sei?
Wadya chii makuseni?
Wadya chii masikati? Zvange zvichinaka here?
Uri kuona chii pa TV?

Usafunga kuti ari kubvunzira kuti umuudze zvauri kuna kuti afare nazvo. Nyaya ndeyokuti agotarisa nguva pa TV magazine kuti zvawareva ndizvo zviri kutaridzwa here, kuti azive kuti uri kumba. Munhu wakadai ukasamudavira foni paanofona anoita STRESS isingaiti otokumbira kuenda kumba. Paanosvika kumba anokupopotera kuti sei usina kudavira foni. Ndafunga kuti waenda kuchipatara nomwana. Kutoti bodo ndange ndiri mubhavhu mwana avata, kwahi bodo tora foni yako uende nayo kubhavhu. Ukasadaro unondidzingisa basa. Izvo ndiye anozvidzingisa basa nokuchengera mukadzi.

Kana muri mese kuzhe, anotarisa vanhu vese vanokutarisa ovaongorora kuti aone zvavari kuda. Hino chinonetsa ndechokuti mukadzi wese ane magaro kana mazamu makuru anotariswa nevarume. Iye murume wako iyeyu anotarisawo vamwe vakadzi, asi haadi kuti wake atariswe. Unohwa oda kunokutengera nhumbi dzokupfeka kwahi dzaunosarudza iwe dzinomusvodesa. Ukada kuita nharo anoti ndiani wauri kupfekera zvakadai zvinopfekwa nemahure. Chimubvunza kuti mahure aanoziva mangani uye anopfekei? Watova kumuitisa hasha.

Mumba mari unonyimwa kuti usagaroenda kure nepamba kana kumbokwirawo bhazi kana chitima kwahi unnoona zvikomba.
Kana mune mota hautombofi wakadzidza kuidhiraivha. Kana makaroorana watova ne LICENCE haubvimidzwi kudhiraivha mota kana kuti iye achienda kubasa wokusiira kii.
Shamwari haubvumidzwi kuita unongohi rera vana vako.
Anogarokuudza kuti murume ndiye mukuru pamba kuti usapindura kana achitaura. Unomirira kusvika akubvunza.
Chikoro haubvumidzwi kuwedzera kwahi unozofundha kundipfuura wobva wazviita murume mumba
Musoro haurukwi zvinoitwa vamwe kwahi unozviitira ani ini handizvidi.
Pakuisana unoudzwa zvokuita zvaanoda iye iwe zvako wonyarara kuzvitaura. 

Mukadzi wemurume akadai ari mumoto chaiwo nokuti haaonekwi somunhu akura zvokufanira kuva nomurume. Anooitwa sezvinoitwa mwana mudiki watinotya kuti anobiwa namabhinya. Kana uri munhu akakurira mumhuri yakasununguka, pakusarudza wekuroorana naye sarudza wakachenjera.
Varume vanochengera vanhu vaya vanoti ukapopotedzana naye nenyaya iyi anotoona sokuti ndiwe une dambudziko rokusaterera murume. Ukapikisana naye anokasira kukuitira hasha. Akaona kuti hasha hadzichashandi anoda kutaura nenyaya yokuzviuraya. Munhu asina kusununguka nokuroorana kwenyu nokuti haanyatsi kuhwisisa kuti sei uchimuda. Anozviona somunhu asina mature wekuti umwe musi uchamusiya wotsvaka munhu akakukodzera.

Zvinonetsa kuhwisa vanhu ava asi vagwere chaivo vanotofanira kundopiwa COUNSELLING yakasimba uye kuhwisisa zvakawanda zvakavakonzera kudai muupenyu hwavo. Ukavatarisa uchaona kuti pamwe munhu akakura achigarosiiwa namai vake pamwe asina baba kana kuti baba vaishanda kure asingavaoni nguva dzese. Pamwe akakurira mumhuri ine vanhu vashoma. Pamwe aiona mai vake vachimusiya vachiitogwa nevamwe vanhu iye achivada. Pamwe aiva nababa vaichengera mai vake iye achizviona. Zvakawanda zvinokwanisa kukonzera mwana kuti kana akura ochengera mukadzi.

Zvokuita kana wadanana nomunhu anochengera.
Kasira kumuudza kuti zvaari kuita handizvo uye anofanira kukurega uchimuda nemadire ako iwe wega sezvaanoitawo iye kukuda semadire ake. Kamna ari mnhu ane CHRONIC PROBLEM pazviri uchaona kuti munogaropopotedzana nenyaya iyi asi haamboregi zviito zvake.

Unoonazve kuti munhu asina kumboitawo musikana anozikamwa kwenguva  refu nokuda kwekuti haavimbi vanhu. Anogarokuudza zvinokuvhundusa kuti iwe usambomuramba chero zvodii. Unohwa achiti haagoni kurarama iwe usipo. Vhura zheve uterere mitauro yake.

Uchaonazve kuti anoda kukupatsanisa nehama neshamwari dzako kuti ungoita wake chete. Akakuona une shamwari yako anokasira kukuudza kuipa kwayo. Hama dzako akadzivhakashira anodzoka ane chakaipa padziri uye kuti havamufariri. Iwe unopedzisira wave kutofunga kuti  pane zvakaipa zviri kuitika izvo bodo ndiya ari kuda kuti usaenda kure naye.

Akakurova anokuudza kuti ukangoudza munhu zvaitika anozviuraya. Usafunga kuti ari kunyeba. Vanhu vakadai vanhu vanogwara saka zvinotonetsa kumutsanangurira nyaya dzeupenyu semaonere adzinoitwa nemhomho.

Ukakasira kuona kuti munhu anochengera, kana wakachenjera siyana naye. Haziiti kuti agadzirike, uye kana maroorana achawedzera kuchengera nokuti anenge ototya kuti ukamuramba hakuna munhu achazomudazve.
Nyaya iyi inyaya inoshusha vakawanda uye inoitika kuvakadzi nokuvarume zvese. Kana ukanyengana nomunhu akadai chokutanga tarisa ATTITUDE yake kushamwari dzako. Unoona achishanda kuti usiyane nadzo ONE by ONE. Vachengeri vanoziva kushandisa fungwa kuita zvanoda newe. Ndiwo magarire avakaita upenyu hwese. Usamutora nhando. Hapana zvaunokwanisa kuita zvingaita kuti afunge kuti hapana chakaipa chaunoita kana asipo.

Vanhu vanoseka vachengeri asi chokwadi ndechokuti zvinonetsa kusiyana nomunhu anochengera. Kana waona hama yako yadanana nomunhu akadai waunoona kana kuti waunoziva sapota hama yako panyaya iyi nokuti upenyu hwake hwatova pakaoma. Usamuseka, mubatsire, uye usati kana watukana nomuchengeri wake woda kumusiya nokuti pamwe ndizvo zviri kutohi zviitike. 

Munhu anochengera haahwisi zvinhu zvatinoona zvisinganetsi kuhwisisa.

Kuchengera pafoni:
Foni dzemuhombodo idzi dzakatiparira zvakawanda mudzimba umu. Vanhu vanochengera vanotambudzika chose pamoyo nenyaya yefoni. Kuziva kuti mukdzi/murume wake ane foni yaanokwanisa kukiya kuti umwe wake asakwanisa kuona zviripo inyaya inotonetsa chose. Vakawanda vanopedzisira varovana mumba nokuda kwefoni. Unoona munhu ange asingatombozivi nenyaya yokuchengera otanga kuchengera nokuti akaona mukadzi/murume wake achiita sokuviga foni.

Kana ari wako anotsvaka kuona zviri pafoni yako, nyebera kukangamwa foni yako umwe musi wozodzoka papera nguva inokwana kuti ange averenga zvese zviripo. Chimwe chinoitisa kuti vanhu vade kuona zviri pafoni youmwe kuona kuti iyehaasi kukuda kana kukufadza zvakakwana saka ofungira kuti ungangoda konowedzeresa kuzhe. Pane kungokubvunza kuti zvoitwa sei kuti tiwedzere mufaro mumba. Vanhu havadi RESPONSIBILITY yavo mumba asi kuda kukumisa kuti uwane mufaro kumwe. Iwewo garokurudzira murume/mukadzi kuhwisisa zvaunoda kuti awane chanzi chokuzviita. Haasi muporofita anongoziva ega kuti chiichinokufanda.

foni, Facebook, Twiter, WhatsApp, etc zviri kutorambisana nokurovesana vanhu izvozvi. Hwisisanai mumba menyu pauviri hwenyu. Imiwo varume/vakadzi gutsai varume/vakadzi venyu mumba. Isa EFFORT pamunhu wawakaita INVESTMENT youpenyu naye.

Zvinobatsirei kuchengera?
Chero uri munhu akachenjera sei, hazviiti kuti ukwanise kuchengera zvokuti mukadzi/murume wako anotadza kuhura kana achida kuhura. Chero ukasiya wamusungirira mumba sembwa, unowana ahura cheni iya iripo. Munhu anoda kuhura anowana mazano ekuhura chete chero zvodii. Kuchengera inongova DESPERATION yokuziva kuti
"Handisi kugutsa umwe wangu saka dai ndirini asingandigutsi ndaitohura zvinoreva kuti iye ari kutodawo kuhura." Hapoka apo munhu haachina zano rokuti usa hura saka okutarisa zvese zvaunoita kuti aone kuti hauhuri.

Uyawo afungigwa kuhura kazhinji anofunga kuti kana achitonzi anohura zviri nani apiwe mhoswa yaaita pane kupomegwa mhosva yaasina kuita.

Varume/Vakadzi
Musaudzwa nhema kuti varume vanochengera kupfuura vakadzi. Tinozviona kwese asi maitire acho akasiyana. Varume vanoita zvinoonekwa pachena uye zvinonyadzisa. Vakadzi vanoitira pachivande. Vakadzizve vakawanda nane mutoo uyu vanoshandisa kunyima murume zvinhu kana murume aita zvavasingadi kuti aite.

Ukaona mukadzi kwako achingoti napo napo oramba kuvata newe, inyaya yokuda kukupinza mugwara rokumubvumidza kukuita nhapwa yako achishandisa kuda kwaunomuita uye kuda kwaunoita kuvata naye.  Kasira kuzama kugadzirisa nyaya isati yaenda kure. 

Udzai vamwe!!!

Wednesday, 24 July 2013

Nyaya yeMhando dzevarume/vakadzi

Paita nyaya yokuti kune chatingati mhando dzezvitubu nezvombo here zvinofanira kuti zviwirirane kuti vanhu vaviri vasangana vakadanana vakwanise kugarisana pasina kushushana panyaya yokuvatana? Kune THEORY yokuti Murume nomukadzi vakaroorana vane zvinhu zviri muCATEGORY dzakasiyana havakwanisi kugarisana zvinomufaro. Ngatione siyano ingavapo

Murume ane chombo chikuru anokwanisa kuroora mukadzi ane chitubu chidiki
Murume ane chombo chidiki anokwanisa kuroora mukadzi ane chitubu chikuru

Vanotaura voti nyaya idzi dziri mbiri dzikakuwanai maroorana dzinokwanisa kukunetsai mumba nokuti zvinoita kuti umwe haaguti kana kuti umwe anogarochemedzwa nokugwadziwa. Tichida kutaura chokwadi chaicho Nyaya yakadai haina musoro zvachose.

Chokutanga ndechokuti Vakadzi siyano yavo iri pamamirire akaita pamberi pavo pakutariswa.
Umwe ane chitubu chine maromo makuru (Outer lips ) umwe ane chine madiki.
Umwe ane matinji makuru (inner lips) umwe ane madiki
Umwe ane matinji anoonekera akareba kupfuura maromo umwe ane mapfupi
Umwe anoti aita zemo onyatsonyorova umwe anononoka kunyorova.
Umwe ane bhinzi huru umwe ane diki.

Asi chaipo pachitubu panopinda chombo siyano yacho ishomanana pamhomho yese yevanhukadzi mupasi rese. Kuti usiyanepo hunge wakatoremara. Chitubu chese zvacho chinokwanisa kupindwa nechombo chese zvacho pasina dambudziko guru. Varume vasingaiti kuvata navo havaiti kumukadzi wese zvake.

Zvadaro tikatarisa SHAPE yepamberi pevakadzi vaviri tinoona yakasina mavakigwe avo, chero vachibva mumhuri imwe chete.

Varumewo tikavatarisa tinoona kuti
Umwe ane chombo chidiki chivete chokurisa chamuka
Umwe ane chikuru chivete asi chomuka chongoita saizi iyoyo futi
Umwe ane rino zidanda rinotyisa kuona
Umwe ane chombo chikuru notumabhora tudiki
Umwe ane mazibhora makuru nekachombo kadiki
Umwe ane zvese zvikuru kana zvese zvidiki.
Umwe ane chombo chipfupi chakakora
Umwe ane chombo chipfupi chitete
Umwe ane chombo chitete chirefu
Umwe ane chombo chakakora chakareba futi


Kusiyana kwevanhu uku. Musiki wevanhu akaona kuti vanhu vachasiyana siyana asi vanofanira kusangana pakuroorana vagonakigwa vese. Ndokutanga nokuudza vanhu kuti musaita Upombwe, kuti vasazokombeya varume/vakadzi. Zvadaro ndokugadzira munhukadzi ane chitubu chinotatamuka kuti chero saizi ipi zvayo yechombo murume anokwana mukati uye chinoshinya. Izvi zvakaitigwa kuti saizi yomurume kana mukadzi isava nebasa panyaya yokuvatana kunonakira mese.

Zvadaro tinoonazve kuti mavakigwe emuviri wemunhukadzi wakaitwa zvokuti anokwanisa kupinzwa chombo muchitubu nemberi kana nokumashure. Kune vakadzi vakasiyana mavakigwe avo.

Mukadzi mutete ane magaro madiki
Mukadzi mutete ane magaro makuru
mukadzi mukobvu ane magaro madiki
Mukobvu ane magaro makuru
Kozoitazve vamwe vakobvukobvu zvokuti kana kufamba anosvuuka pakati pezvidya nokuda kwekukwizirana
Mukadzi murefu mutete
mukadzi murefu mukobvu
Mukadzi mupfupi mutete
Mukadzi mupfupi mukobvu

Vanosiyanazve panyaya yemuromo wechitubu, mamirire akaita matinji nemaromo epamberi, uye bhinzi kukura kwayo nemagarire ayakaitapo. Kana woenda mukati mechitubu tafanana tese asi kana une mwero wekusimbisa masuru yechitubu unoshinya chombo kupfuura asina kusimbisa.

Chinhu chakafanana pavakadzi vese ndechokuti aka vata nomusana kana kofongora murume wake chero akadii hake pasaizi yechombo anokwanisa kumupinza chombo. Chimwezve ndechokuti mukadzi weSHAPE ipi zvayo akapinzwa chombo chesaizi ipi zvayo asina kunyorova anohwa kugwadza. Zvese izvi zvinobva pakugadzigwa kwechitubu chinotatamuka pakupinzwa chombo.

Unohwa vanhu muOFFICE vachitaura nhema kwahi
"Iwe haungandikwanisi"
"Uyu akakora zvokuti anoda chombo chikuru"
"Uyo murefu zvokuti chombo chake chikuru saka angakuuraya"
"Uyo mudikidiki zvokuti murume angamukuvadza"

Hakuna zvakadaro Murume akareba mamita maviri akaroora mukadzi akareba mita imwe chete, vanongovata vese pasina kana chinonetsa. Chero murume wacho ane chombo chakakura sei chamira hapana nyaya inotyisa ipapo. Chombo chesaizi ipi zvayo chinokwana muchitubu chipi zvacho pasina anokuvara kana kuchemedzwa nokugwadziwa. Chero wahwisisa kuti munhukadzi anofanira kutanga anyorova.

Ukahwa murume achibvunza kuti ko angaita sei nokuti akaroora mukadzi ane chitubu chakakurisa, ari kuzama kukuudza kuti munhu asina CONFIDENCE nesaizi yechombo chake. akarambana nomukadzi iyeye mukadzi anokwanisa kuwanikwa nomurume anofunga kuti chitubu chake chidiki. Ukazoona zvombo zvavo varume vaviri ava zvimire unoona zvakainzana. Nyaya dzekukura kwechitubu dzinobva pamafungire evarume kwete pasaizi yechitubu.

Kubatwa ganyabvu RAPE nemurume ane kachombo kadiki hazvina kusiyana nokubatwa ganyabvu nomurume ane chombo chikuru. vese vanokukuvadza.

Vanhu vane ugino panya dzezvombo nezvitubu vakawandisa zvokuti nyaya dzisingafaniri kutaugwa dzinotaugwa vatereri voona sokuti ndedzechokwadi. Kune vakadzi vane zvitubu zvisingapindiki nechombo asi zvinoitiswa nechigwere chefungwa chinoti kana mukadzi akangofunga kuti chombo choda kupinda anoita PANIC inosunga chitubu murume otadza kupinda. Vakadzi vakadai vanowanikwa munyika dzese asi zvikangoitika kwedu vanokasira kufunga kuti zvaitiswa nomushonga wemunhu aakambovata naye, ipapo eye asina waakambovata naye.

Taurai tihwe vane zvokutiudzawo.

UDZAI VAMWE!!!




Saturday, 15 June 2013

Kusunga/Kusungwa

Nyaya yomukadzi/murume  anohi akasungwa inyaya inoda kuongorogwa zvakanaka kuti vanhu vahwisisane nokuti kune vanhu vanoudza vamwe nhema pazviri. Vanotaura vanoti ivo:

Kune varume vanosunga vakadzi vavo nomushonga wekuti kana umwe murume akada kuvata naye, chombo chake hachipindi mumukadzi chero zvodii.

Koitazve vakadzi vanoti akasunga murume wake, murume akada kuhura chombo hachimiri.

Tichitarisa panyaya iyi tinoona kuti zvokutadza kumira chombo zvinoitika chose kumunhu asingasihuri kana ada kuhura asi achida mukadzi wake. Imwe nyaya inonetsa pakusamira kwechombo ndeyokuti kana murume akaona kuti chombo hachisi kumira asina kumbozviona zvichiitika, anobva atotyiswa nazvo, obva atadza kumira zvachoseZvinonzi akazoonanazve nomukadzi iyeye anonetseka kumira chombo.
Mukadziwo akazama kuvata nomurume wokuhura naye iye asina kumbohura upenyu hwake hwese zvinoitika kuti murume anotadza kupinda zvakanaka. Pamwe vanopedzisira vatadza kuisana zvachose. Pamwe haanyorovi iri nyaya yokutya kuhura.

Kana nyaya dzakadai dzozotaugwa kubhawa kwahi akazama kuvata nomukadzi akasungwa ndokutadza kupinza. Ipapo muridzi wenyaya anenge achitya kusekwa kuti akatadza kupinza chombo saka oda kupa mhosva kumukadzi kuti mukadzi ndiye anga akasungwa.

Hwisisai kuti dai zvaikwanisika kuti unosunga murume/mukadzi wako kuti asambokwanisa kuvata noumwe munhu dai vanotengesa mishonga yacho vari vafumi zvakangofanana navaya vanotengesa madhirezi emuchato ne sutu dzemuchato nokuti pamuchato umwe noumwe paitodiwa mushonga uyu kuti upihwe vanhu vaviri. Unochaja mari chero yawada.

Chimwezve ndechokuti zvigwere zvechihure dai kusina munyika yedu. Waingoti ukafunga kusada kubata chigwere, womhanya wonotenga mushonga wekusunga murume/mukadzi wako. Munyika medu dai mune vanhu vosvika mamiriyoni 20 kupfuura nokuti dai pasina akafa nezvigwere zvechihure.
Masimoro housi dai kusina zvachose. Varume dai vachitsvaka kugutira mudzimba dzavo. Mari inobhadhagwa zvimahure izvi dai ichiendesa vana kuchikoro nyika yese ine vanhu vakadzidza.
Vana vanozvagwa murume atiza dai kusina nokuti murume wacho aisazokwanisa kuvata noumwe mukadzi asiri wake.

Makambani emunyika yedu anopedza mari achitirena vanhu vanoti atirenwa oenda onofa nechigwere kambani iya yotangazve kutirena umwe, dai kusina. Mari yese yokutirena iyi yaizoshandiswa pakuwedzera basa kuti vakawanda vawane mabasa. Kana ukatarisa nyaya yokusunga murume/mukadzi iyi unoona kuti zvinoitika kana vanhu vasungana pamuchato wavo zvinobatsira nyika yese uye mazera ese evanhu.

Zvazvinoreva:
Nyaya iyi ukaitarisa takarerekera kunyaya yemari yenyika nenyaya dzemabasa nokugarisana zvakanaka tinoona kuti vatongi chaivo venyika vaikwanisa kutsvaka vanhu vanotengesa mishonga yakadai vovaudza kuti vawedzere PRODUCTION LINE yemishonga yavo kuti nyika yese ikwane. Taizoonazve EXPORT MARKET yenyika yedu pamishonga iyi yawedzera zvokutokwanisa kutengesera nyika dzese.

Chinoitisa kuti zvinhu zvese izvi zvisavako ndechokuti inhema dzatinoudzana mumabhawa nepamusika. Ukaona munhu anoda kukutengesera mushonga wakadai ziva kuti imbavha. Nhema dzinokasira kufamba kupfuura chokwadi. Ukaonazve wada kutenga mushanga uyu hwisisa kuti uri munhu akapusa chose. Kupusa kwakadai kunoitiswa nokushaya zvokuita nomurume/mukadzi wako ari kukuhurira, zvikuru nokuda kwekuti haasi kuguta mumba. Zviri nani dai wafunga kuti ungagutsa murume/mukadzi wako sei.

Chitubu chomukadzi kana chombo chomurume hachikwanisi kusungwa noumwe munhu kuti chisashanda. Iye muridzi wacho ndiye anozvisunga ne PSYCHOLOGY yake panyaya dzokuhura. Zvese zvinoitika munyika yedu zvinoitika mune dzimwe nyika pasina kana nyaya dzokusungana dzinotaugwa. Nyika dzese dzine vanhu vasingamiri chombo kana kuti vanotadza kupinzwa chombo nomurume iri nyaya yokutya.
Condition inoitisa kuti ungozoti wava pakuda kuhura wotadza kuzviita chinohi SEXUAL Anxiety  

Uchashamisika kuziva kuti murume wako waunofunga kuti akasungwa, aka jairirana nomukadzi waari kuda kuvata naye, anopedzisira avata naye chete kutonakirana zvokuti. Kozotiwo mukadzi wako waunofungira kuti wakasunga, akasafunganya nokuda kuhura anongopedzisira avata nechikomba chake chete, kutochemererana nokubatirirana nokupiwa urume. Apedza otopukuta chombo chechikomba sezvaanongoita kumba. Iwe uri kubhawa uchifunga kuti mukadzi haapinziki chombo noumwe murume. Ndiwe fuza.

CONDITION iyi inorapika zvokuti vakawanda vanorapiwa pazviri nokuti zvese izvi zvinokwanisa kuitika pamukadzi nomurume wake. Saka dai uri mushonga dai zvisingarapiki.

Ukaona munhu anofamba achiudza vanhu kuti nhingi akasungwa ziva kuti nyakutaura ugino zvake anotodawo rubatsiro.

Asi kune vanhu vanoda kuti utye kunyengana nomurume/mukadzi wake uchifunga kuti ane mushonga. Muchirudzi chedu nyaya dzemishonga dziri kwese kana kubika sadza chaiko kunoda mushonga kana muporofita mazuvano nokuti vanhu vava kurarama upenyu huzere nhema. Ukaita NURSE kana DHOKOTERA ukashanda kune imwe nyika gara wakachenjerera kuti ukaona munhu ane CONDITION yakadai ukamuudza kuti akasungwa unodzingwa basa.

Kana une mushonga wekusunga munhu nawo, ndinyorere kukero inoti maichibwe@yahoo.co.uk  tikugadzirire mari yakawanda kupfuura yese iri muZimbabwe. Ma kasitoma akawanda munyika dzese dzepasi.


Verengazve apa:

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/08/kutadza-kubuda-mumukadzi.html

CHALLENGE!!
Kana une chokwadi kuti unoziva kuti kune mushonga wekusunga murume/mukadzi wako, taurirana nomurume/mukadzi wako munotora mushonga uyu mugotiudza kuti mava nawo. Tinokwanisa kukuwanirai mari inopfuura USD one million pagore rimwe nerimwe kusvika mese mafa. Kana kune munhu anotengesa mushonga wakadai munotouya naye munhu iyeye mese naiye munowana mari yakawanda chose.

Kana iwe uri munhu wacho anotengesa mushonga uyu, zvinoreva kuti unoda mari, OTHERWISE dai usingatengesi. Saka tiri kuti kana uchida kuita Millionnaire gore rino risina kupera, uya titaurirane iwe neumwe noumwe wemhuri yako munge mava ma millionnaire panosvika kisimisi.

Asi uchaona kuti vanotengesera vanhu mishonga yakadai havabudi pachena kutaura nezvazvo nokuti vanoziva kuti mishonga yavo ndeyenhema. Kana iri inoshanda munhu anongovhura SHOP yake ototengesa. Hakuna mutemo unodzivisa munhu kusunga mukadzi/murume wake. Hakunazve mutemo unodzivisa kutengesa TECHNOLOGY yacho. Ikozvino dai Zimbabwe ine HUGE EXPORT MARKET ye technology dzakadai.

Kana uchiziva mushonga wekusunga umwe munhu kasira kutiudza tikubatsire kuita BILLIONNAIRE.
Ukanotenga mushonga uyu nemari inoita USD$1000 tiudze uye utiratidze munhu akakupa mushonga uyu.

Challenge iyi ndeye nguva yese (LONG STANDING) saka chero pawaiwanira ukaigona uya tikubatsire kuita mari.


Udzai Vamwe!!!!
kusunga murume
Kusunga mukadzi
Kunamirana nomukadzi wemunhu
Kurambira mukukadzi wemunhu
Chombo chisingamiri
kusamira kwechombo





Tuesday, 4 June 2013

Kudanana nomunhu waunoshanda naye

Mazuvano vanhu vakawanda vanodanana nevanhu vanoita mabasa akafanana neavo kana kuti vanoshanda pamwe chete navo. Ngatimboona nyaya iyi mafambire ayo.

Kunyika dzakawanda vanhu vanonyengana pamabasa. Hapana chinoshamisa. Tinotoona kuti vakawanda vanoroorana pamabasa uye vakawanda vanohura nomunhu wavanoshanda naye. Ukaverenga magwaro ekurambana kwevanhu unokasira kuona kuti pane vakawanda vakazvirambisa nomukadzi/murume nokuda kwekuhura nomunhu wavanoshanda naye. Woverengazve matsamba ekukomburena kwavanhu pamusoro pemagarire vo woonazve kuti kune vakadzi nevarume vakawanda vanofunga kuti umwe wavo ari kuhura nomunhu wekubasa kwake.

Ukatererazve mataurire anoita vanhu kubasa kwako uchaona kuti vanonemerana panyaya dzokuvatana nenyaya dzakarerekera ikoko zvinoreva kuti vanhu vakajairana zvokuti vanokwanisa kuudzana nyaya dziri kuitika kumba.

Munhuwese panyika pano anoita shamwari dzamabato akasiyana. Kunoti dzokubasa, dzokutamba nadzo, dzemhuri, dzokuChurch, Dzokumwa nadzo doro, dzokutsvaka nadzo huni, dzokuvhima nadzo, dzokusanganisa nadzo mombe morima pamwe chete. Munhu akachenjera anoziva kuti iyi shamwari inogumira apa iyo yogumira apo.  Panguva yakawanda tinoziva muganhu weshamwari dzedu.

Pamabasa tinoshanda tese kwezuva rese 8-9 hours. Panguva iyi unokwanisa kuziva munhu zvakadzika kuti munhu akaita sei  pamoyo pake. Unokwanisazve kuziva kuti anokuona sei. Kuzoona okunyenga unenge atoona kuti unokwanisa kubvuma kudanana naye. Kana mese musina kuroorana noumwe munhu, hapana chingakunetsai. Munokwanisa kudanana motoudza vamwe vamunoshanda navo kuti mava kudanana ivo votokupai rukudzo pakudanana kwenyu.

Kana umwe wenyu ane waakaroorana naye munokwanisa kudanana pachivande zvinoreva kuti pane ari kuita chihure pakati penyu.  Nyaya dzechihure dzinonetsa kuti nyakuhura haakwanisi kuziva kuchasvika nyaya paanotanga kuhura. Zvinokwanisika kuti uku iwe uri kufunga kuti muri kungohura zvepurezha zvisina kwazvinoenda asi uya wauri kuhura naye otanga achidawo zvepurezha sokuwirirana kwenyu, asi ozosvika pakuita rudo. Zvadaro kuti muchirambana zvonetsa. Munhu ane rudo nomunhu anopenga Havana kunyaya kusiyana pazviito zvavo. Ukaudza munhu anokuda nomoyo wese kuti hauchamudi asi wamboita nguva muchivata mese achifunga kuti ndezverudo, panokwanisika kuita zvinhu zvausina CONTROL pazviri.

Nyaya yemapepa:
Kare kwaimbova nenyaya yokuti ukadanana nomunhu ane mapepa iwe usina ukazoda kumuramba aikwanisa kukuRhipota kumapurisa ezvemapepa kuti ubve wadzingwa munyika udzosegwe kwako.  Izvi hazvishandi muZimbabwe asi kumwe zvinoshanda.

Kukurambanisa newako wekumba:
Mudiwa wako wekubasa anokwanisa kufunga kuti akakurambanisa nowekumba unozoda uye. Anokwanisa kubudisa chihure chenyu pachena iwe wobva waita nhamo mbiri, imwe kumba imwe kubasa. Dzese nhamo idzi dzinokubata zvakasiyana zvichibva nokuti muri kunyika ipi uye SUPPORT yamunowana yakamira sei.
Murume/mukadzi wako anokwanisa kukuisa pakaoma pokuti unoshaya kwekuenda, zvikuru kana usina hama kana shamwari pedo. Upenyu hwako hunokwanisa kuchinja zvakawedzera pasina nguva. Kana uri kunyika dzakaita seUK unokwanisa kubviswa munhuri yako nemapurisa.

Kudzingiswa basa.
Mabasa anonetsa kuwana mazuvano. Ukadanana nomunhu wekubasa kwako zviri zvokungoda kuvata naye, akazoziva kuti haumudi. Anokwanisa kukupomera mhosva dzakawanda zvokuti kushanda naye kunozokunetsa chose. Unokwanisa kuzopedzisira wadzingwa basa iwe naiye muchiziva kuti hapana chakaipa chokubasa chawakanganisa asi kuti wada kumuramba. Kana uri munhu rume hazvinetsi kukudzingisa basa, zvikuru kana uri kunyika dzakaita seUK dzine ma HARRASSMENT RULES pakati pevakadzi nevarume. Kana mukadzi/murume akanoudza vakuru vebasa kuti uri kumunemera kubasa unopiwa warning, akanovaudzazve unodzingwa. Nyaya idzi dzinobva pane zvaunotaura kwaari, zvaunotaurira vamwe pamusoro pake, zvaunonyora pa FACEBOOK, paEMAIL, paTWITTER, paWHATSAPP kwaari kana pamusoro pake.

Hwisisa kuti ukadanana nomunhu kubasa, ukazoda kurambana naye zvisina kubvumirana, pane vanhu kubasa kwenyu vachada kumusapota, kozoitazve vamwe vanoda kukusapota. Pamapoka maviri awa pane richawhinha kana kuruza nyaya yokudzingwa kwako basa. Hino kana pane umwe aimbokudawo ukamutaridza kuti haumudi, toti wakamuudza kuti hauhuri asi iwe wozohura noumwe, wekutanga uya anokwanisa kukufikisa nokuudza vanhu nhema.

Vanhu vaunoshanda navo hadzisi hama dzako. Vanhuwo vari kungodawo basa sewe saka havanei noutano hwemhuri yako.

Kana basa rako riri basa republic sector, ukadzingwa hauzokwanisi kuwanazve rimwe rakadaro, zvikuru kana paita nyaya dzekupomerana pakusabata vamwe vanhu zvakanaka.

Kukusungisa.
Zvinokwanisika kuti kana munhu agumbuka uye aona kuti asvodeswa pamweri peshamwari dzake, toti wanga wamuudza kuti unomuda, iye ndokubvuma kuvata newe achifunga kuti ucharambana nomukadzi/murume wako, mozoti mambohura iwe woona kuti hapana zvaakasiyana newako wekumba woda kumuramba, Anokwanisa kukupomera mhosva dzinosungisa kuti ushaye mufaro sezvaari kuita. Tinoverenga mumapepa nyaya dzakadai. Unoona kuti munhu anokuisa pakaoma, nokuti ukasungwa, unoita CRIMINAL RECORD, uku wodzingwazve basa.

Zita rako rinobuda mumapepa, zvikuru kana uchigara munyika isiri yako vanoona sokuti mabvakure anokanganisa nyaya dzenyika yavo, saka vanobudisa nyaya dzese dzamunoita  kuti muonekwe semusina kukwana. Kana wawahura naye ari munhu wemunyika iyoyo, nyaya inowedzera kukura kuti uya wawahura naye aonekwe sokuti ibenzi rinoda mabvakure. Vashoma vanhu vanofarira mwana wemunyika yavo kuti ahure nevanobva kure. Ukatarisa kana muZimbabwe unoona vanhu vachitsoropodza vanhu vanodanana nevanhu vekuZambia, Malawi, Mozambique, etc, kusvika pakufungira kuti vanovada nokuti vane mishonga. Kufunga kwakadai kunobva pakusatenda kuti munhu akakwana anfada munhu anobva kune imwe nyika.
Mapurisawo ane fungwa dzakadaro saka pavanowana mukana wekukupa mhosva vanokupa. Kuno ku UK vemuno vane kamufungo kekuti vatema havatauri chokwadi. Ukavaudza nomoyo wese kuti hauna kurhepa munhu, havabvumi zvauri kutaura.

Vemapepawo vanowedzeredza panyaya dikidiki kuti iite sehuru vagotengesa mapepa avo. Vanokutevera kukoti kuti vahwe zvaunotaura vagozvinyora neimwe zhira kuti uonekwe kuti hauna kukwana.
Nyaya yokusungiswa ndiyo nyaka huru chose inotyisa.

Zvokuita kana wadanana nomunu pachihure:
Ukaona kuti rudo hauna nomunhu uyu uye kuti wava kuda kurambana naye, zviri nani kuita chimwe chinhu chinoita iye akurambe, kwete kuti iwe utange kumuramba. Kana usina chokwadi pane zvaachaita, mirira akurambe iye, iwe woita sokuti haudi kurambwa. Pakadai dzimwe nyaya hadzizobudi saka zvinoita nani. Iwewo chidzidza chidzidzo chako pazviri.

Kasirazve kuudza mukadzi/murume wako asati audzwa navamwe vokubasa kwenyu. Izvi zvinoitigwa kuti usaiswa pa BLACKMAIL yerudo. Munhu anokwanisa kukudza kuti ukamuramba anoudza mukadzi/murume wako iwe wongotya woramba uchihura naye pakutya kubatwa. Ukamuudza kuti wekumba anoziva kuti wange uchihura, zvinoita nani asi mhosva yave kumba.

Zvokuita kana wahurigwa :
Kana wahurigwa, chokutanga ndechokuti usakasira kuita chinhu pazviri usati wanyatsofunga zvakakodzera zvokuita. Moyo unogwadza chose chose kana waudzwa kuti zvaitika. Tanga wanyatsohwisisa zvese zvaitika usati watanga kutsvaka kuti wotanga papi kugadzisa zvinogadzirika.

Chokutanga ndechokuona kuti kana pane nyaya yemapurisa nemanyuzipaper, usaipindira. Hauna kuhura saka nyaya iyi haisi yako. Kana zvinhu zvichida kuenda PUBLIC, rega ZVIENDE ZVEGA. Iwe imbowana pokuvanda kusvika nyaya yawana pokupotera.

Funga zvokuita. Unoda here murume/mukadzi akuhurira. Nyaya yokumira pamwe chete noumwe wako kazhinji inokanganiswa nenyaya dzemari. Murume/mukadzi kana achitambira mari iwe usingatambiri anokwanisa kukuratidza kuti ukamiusiya hakuna kwaunoenda noupenyu hwako usina mari. Nyaya yemari inonetsa kuivhenganisa nenyaya yerudo. Funga kuti dai pasina mari, pasina zvimwe zvese, tiri kungotarisa nyaya yokuti wahurigwa, unoita sei nazvo.  Wotangira ipapo. Kuvanhu vanoshanda vese vanokwanisa kurarama zvakanaka umwe abva, pane nyaya dzokuti unozvibvunza kuti ukamuregerera zvinofamba sei mberi uko, ukamusiya vinofamba sei mberi uko?

Kana mune vana, unofanirazve kutarisa upenyu hwevana. Varume vakawanda pakangita chihure vanoda kukasira kuudza vanhu nokuzviudza kuti “Hazviiti kuti ndirhojegwe mukadzi wangu noumwe munhu.” Zvokuti pane vana haanei nazvo. Unohwa munhu otoudza hama dzake kuti haana shuwa kuti vana ndevani.

Chimwezve, kasira kundoTESTWA zvigwere zvechihure. Nyaya inowanzoitika kana munhu akatanga kuhura, anoti mazuva aanozvipira kuhura, anowedzera kurhojana noumwe wake kumba. Pamazuva iwawa ndipo paunokwanisa kubata chigwere kokuti uya ari kuhura noumwe wako ari kuwedzerawo kurhojana nowake kumba kwake. Hauzivi kuti akatanga kuhura riini. Kuenda kuTest chinhu chokutanga kuita. Kana une chigwere, zvinoreva kuti vamwe vese vari mugungano renyu rerhoji vanacho.  Wabva kunotestwa ngazvisaita kuti usavata nomumwe wako kusvika mabvumirana kuti nyaya yenyu yapera. 

Pasina zvese izvi.
Kana uchishanda nevanhu vane njere, vasina rusaruraganda, vasinei nevabvakure, vasingadi zvokuhura, iwezve usina kuroorana noumwe munhu usina musikana/mukomana asi uchiona kuti paunoshanda pane vanhu vakakodzera kunyengana navo, hwisisa kuti ukadanana nomunhu wauchaona zuva nezuva kwemakore  akawanda, uchada kuchengetedza kuvimbika kwako nokukudzwa kwako.

Danana nomunhu uyu zvinoratidza nhu hwako ane vanhu vanokuziva. Kana pakadai mukazorambana, uchaona kuti munopiwa SUPPORT yakakodzera mese pabasa. Uchaonazve kuti hamuvenganiswi nokurambana kwenyu. Vese vanoterera nyaya yenyu vanokuhwirai tsitsi vokuudzai kuti dai madzokerana.

Kuona vanhu vane rudo chinhu chinofadza chose zvokuti chero umwe achibva kure ukaona kuti shuwa pane rudo, kazhinji kana uri munhu kwaye mufungwa unosapota zvauri kuona.

Pakudanana kwenyu usakurudzira vanhu kukubvunza nenyaya dzokuti wakaitei nomukomana/musikana  wako madeko. usakurudzira munhu waunodanana naye kuudza vanhu zvamunoitana pauviri hweenyu. Kana ukahwa kuti ari kutaurira vanhu, unofanira kumuudza kuti hauna mufaro nazvo nokuti hazvina unhu saka kana achikuda ngaasataurira vamwe zvakadai. Muite ahwisise kuti vakawanda vanobva pakunyengana vozoenda pakuroorana. Hazviiti kuti vaya vawaimboudza kuti wakafongorera mukomana wako madeko akakurhoja zvinomwisa mvura, vazouya kumuchato wenyu nokuti mufungwa mavo uri munhu asina unhu.

Kurjojerana Promotion pabasa 
Kune vakawanda vanopiwa mabasa nengari yokuvhurira mukuru webasa makumbo kana kubvuma kurhoja mukurukadzi webasa. Mabasa akadai ndiwo hawo uye tinoziva kuti anoitika uye kuti unotopiwa basa racho asi ane nyaya dzakawanda dzinoenderana nazvo. Kana wapiwa basa rakadai, usafunga kuti unokwanisa kurichengeta usingawedzeri pazvinhu zvakuwanisa basa. Kana uri munhu wechidiki mukuru webasa ava munhu mukuru ane mhuri yake anokupa basa kuti gare pedo agovata newe, kana wava nebasa racho unofanira kuwedzera zvakakuwanisa basa. Izvi zvinoreva kuti kana ukaita musikana/mukomana uchanetseka kumuchengeta nokuda kwemukuru webasa.

Kutizve mukuru webasa uya wauri kuvata naye, akaona umwe munhu anoda basa anotangazve kuvata naye zvoreva kuti pamunhu uyu pane vakawanda vari kuvata naye, vese vachifanira kunge vane vasikana/vakomana vavo kuzhe kwebasa. Umwe wavanhu ava akabata chigwere, mese muchachibata.

 Kana usingahwisisi nyaya dzacho dzese usawanokwa padziri.

WEDZERAI VANOWEDZERA


Udzai vamwe!!!!!!
kuiswa pabasa 
kukwirwa pabasa
kuhura nomunhu wekubasa
kuisa mukadzi waunoshanda naye
kuiswa na boss wako

Thursday, 30 May 2013

Kurambana mamboroorana (divorce)

Tanga waverenga  panyaya dzinorambanisa vanhu 

Ndakambonyora nezvenyaya dzinorambanisa vanhu vakaroorana asi pano ndoda kuongorora nyaya yokuti marambana zvinofamba sei muupenyu hwenyu. Uye kuti kana mune vana upenyu hwavo hunozodii. Kurambana hachisi chinhu chiri nyore, zvikuru kumunhukadzi nokuti munhukadzi anenge aita INVESTMENT yakakura chose pakuroorana nomurume wake. Varume kazhinji vanongotarisa zvavo ivo chete. Vanowanzofunga kuti kurera vana kunongodiwa mari chete yokutenga zvokudya nezvokupfeka. Havawhisisi kuti mwana anofanira kuva nevabereki vake kuti aite STABILITY. Kazhinji ukaona murume achigaroda kuona vana vake marambana murume akatosiyana nevamwe varume.

Mukadzi pakurambana anotarisa zveupenyu hwake nehwevana vake.

Mukadzi ane vana 
Kana mukadzi ane vana akarambana nomurume, kazhinji munoenda kukoti kunoudzwa zvokuita nevana. Kunyika dzakawanda zvinonzi vana ngavagare namai vavo kusvika vana vava nemakore 18. vozoenda kwababa, kana zvirizvo zvavanoda. Asizve kana mwana ava nemakore 11 anokwanisa kusarudza kunogara nababa vake.

Mukadzi ane vana anongodawo kurhojewa sezvinongoita vaya vasina kurambana nevarume vavo. Anodazve kuva mukadzi weumwe murume. Nyaya huru inonetsa ndeyekuti kunyengana nomukadzi wakadai kunoda munhu ane PATIENCE nokuti haana nguva yokumbobudabuda achienda kunowanikwa varume vasina vakadzi.

Izvi zvinoreva kuti kazhinji anoti akawana murume wekushamwaridzana naye, anouya naye kumba kune vana vake, zvinoreva kuti pauviri hwavo vanokasira kutanga kuvata vese vasati vanyatsozivana. Zvadaro vanombonakirana kwenguva asi kana vazoona kuti havana kukodzerana, vosiyana. Mukadzi anotangazve kutsvaka murume wekudanana naye ouyazve naye kumba, zvichingodaro kusvika azowana murume akasvinura.

Kuti azowanikwazve, kazhinji kana uri ku Europe unenga wambotovata nevarume vakawanda uchida kuziva kuti kwaye ndeupi. Pavarume ava vazhinji vavo vanenge vachingoda kuvata newe chete asi vasingadi nyaya yokuti une vana. Paunozozvibata kuti haanei nevana vako unenge watoiswa naye kare hino kuti uchirega hazviiti. Kurhojana kunonaka uye mumoyo mako unoziva kuti hauna nguva yokutsvaka umwe, saka wongorega murume waunoziva kuti haakudi achivata newe. Kunozoti waona kuti hakuna kwamuri kuenda womudzinga wotangazve kutsvaka umwe.

Pakadai vana vanoona zviito zvamai. Inyaya inonetsa kuti uku mwana anotsvaka boyfriend uku mai vanotsvakawo boyfriend. Zvinoda kuti mai vange vachidzidzisa mwana kuti mukomana anosarudzwa sei kwete kuonekwa mai vachitambudzika nenyaya dzokurambana nemaboyfriend vachichemedzwa nazvo nokugumbuka semwana mudiki. Mwana anodzidza zvisirizvo zvinofanira kudzidzwa nomunhu wezera rake.

Mai vaya vanozoti vawana wekudanana naye akasvinura, vogara naye sababa vemba. Pachirudzi pedu, murume wamai ndibaba. Zvinoreva kuti mwana anoti akaona murume wamai oti baba, akaona baba vake oti baba futi. Zvinoreva kuti anohwisisa kuti mai vake vari kurhojana nomunhu asiri baba vake, baba vake vari vapenyu. Kumwana uya anogara namai vake, zvinonetsa kuita EMOTIONAL ATTACHMENT kumurume wamai baba vake vari vapenyu. Tinoona mafirimu akawanda evana vanozama kuti mai nababa vadzokerane kuti uyu umwe munhu abvepo pakati pavo.

Murume ane vana. 
Ukaona murume ane vana achibvuma kurambana nomukadzi wake, agobvumazve kuti vana vake vanogara namai vavo, chiziva kuti murume uyu haasi munhu akakodzera kuva baba vevana ava, Kana akaenda kune imwe nyika, tora vana vako unovanyoresa pazita romurume wako mutsva vakure vasina stigma yemhuri yababa vavo.

Murume ane vana anofanira kugwisa kuti muchato usagugwa, kusvika vana vapfuura makore 18 vese. Kana mozorambana rambanai henyu zvisinei nevana  Murume ndiye mukuru pamusha, ndiye anofanira kuva nemazano eupenyu hwevana vake kwete kurega zvichinopiwa umwewo murume ari kungozvitorera kuti nokuti anoda kugarorhojana namai vevana vacho, iwe muridzi uri mupenyu. Bodo. Handizvo. Murume ngaarere vana vake ega somurume.

Varume kazhinji zvevana havazvidi zvachose. Anotofara kuti vana vapiwa kuna mai vavo nekoti. Vamwe varume anongohi murume nokuti ane chombo asi pasina zvomurume.

Kana vana vaenda namai vavo, anotanga kunyenga vamwe vakadzi otozviona sokuti munhu ari SINGLE. Unoona kana ane FACEBOOK otiochinja STATUS yake kuti vasikana vagomuda vachifunga kuti haana mukadzi nevana. Hazvinonoki kuti atange kuuya navo kumba kuzorhojana navo pasina rudo.  Kazhinji kunozoti kwapera nguva ochitanga kutsvaka wekuroorana naye uku apedza nyika yese kurhoja vaya vange vachirhojanawo nezvimwe zvigeven'a zvakafana naye. Ipapo zvigwere bvuu. Kwahi ndiri kudya nyika rutivi.

Murume ane vana anofanira kutsiga azvibvunza kuti chii chakakanganisika pamuchato wangu namai vevana, Kana zvichigadzirika ogadzirisa vana vokura nevabereki vavo. Kana mukadzi wako akakuhurira iwewo wakambohura akakuregerera, zvoreva kuti unofanirawo kumuregerera nokuti kuhura zviito zvenyu mumba menyu. Kwete kufamba uchitozviudza kuti "Handiisigwa mukadzi naFiripi ini" asi iwe wakaisirawo Farai. Ipapo murume wacho ari kuti haadi mukadzi anohura, ndiye airamba kurhoja mukadzi wake mumba mukadzi asati atanga kuhura. Kana uchigaronyima umwe wako mumba, ziva kuti uri kupfumbidza zhira yokuti afunge kuhura. Kuiswa nomurume wako mumba chinhu chikuru chose chisingafaniri kushaikwa kana kutambiswa kana kuti watsamwa worega kuchiita.

Kupa mai vevana vako mari pamwedzi handiko kurera vana vako. Vana vanoda RELATIONSHIP navabereki vavo inovadzidzsa nezvoupenyu.

Kana maita vana nyaya yenyu yatosvika pakakuomerai kurambana. Kana mazorambana matoiwedzera kuoma.

Mukadzi nomurume vasina vana. 
Kana musina vana mukafunga zvokurambana rambanai henyu asi hwisisai kuti mukazosangana pamasangana, sevanhu vakambogara mese muchirhojana, monokwanisazve kuzorhojana umwe musi. Hameno kuti vanhu takaita sei asi munhu wawambogarovata naye, chero akazoroorana noumwe munhu, mukasangana pane mukana wekurhojana kazhinji zvinoitika.

 Kana mange mamborambirana nyaya dzokuhura, mozoti mange maparadzana kana mwedzi mitanhatu mosangana morhojana, zvinoreva kuti kurambana kwenyu hakunei nokuhura, nokuti apa muri kutovatana muchiziva kuti pamange makaparadzana apa mange muchivata nevamwe vanhu. Saka dai makatorega zvenyu kurambirana nyaya iyi vanhu venyu vaitoita vashoma.

Zviri nani kurambana musina vana pane kuzorambana mamboita mwana.

Pakurambana
Panyaya dzinorambanisa vanhu pamusha tinoona kuti huru yadzo kusazvininipisa pamberi pemudiwa wako. Kuda kuzvipa chinzvimbo chisingakukwani kwakaipa, toti murume asingazivi kuti kuita baba vomusha zvinorevei kana mukadzi asingazivi kuti kuita mai vemusha zvinorevei. Unoona vachingopopotedzana sepwere dzinogwira chokutambisa, nyaya ichibva pakusaziva RESPONSIBILITY yako sasamusha kana mai vemusha.

Pakadai mukarambana mukanoroorana nevamwe vanhu munorambana futi nokuti hamuna kugadziridza kusahwisisa kwenyu panyaya dzokuroorana. Munhu ukaona kuti pamusha pako hapana mufaro, gara pasi newawakaroorana naye mugadziridze nyaya dzenyu.

Kana uchirambana nomunhu, rambanai muchiziva kuti zvese zvinogoneka kuitwa mazviita zvikatadza kushanda. Hakuna munhu asingagariki naye kana achida kugarika naye. Kurambana kunotogozha kupguura kuroorana saka musafunga kuti inyore. Marambana kudaro hazvipereri ipapo. Muchatosanganazve nyaya yenyu yoenderera mberi noumwe mutovo wakasiyana nezvamuri musati marambna.

Kurambana handiko kugadzirisa nyaya nokuti hapana chazvinokubatsira. Kuramba kubvuma kuti watadza kugadzirisa nyaya dzenyu. Panyaya dzekuhura nedzehasha, kana uriwe uri kuzviita asi usingadi kuti murambane zvechokwadi. Kumbira kuti mumboparadzana kwekanguva muchifunga kuti modii nenyaya dzenyu. Madaro pakuparadzana kwenyu ongorora kuti VALUE youmwe wako iri papi muupenyu hwako, wozvibvunza kuti unomuroverei uye sei uchimuhurira. Kana dziri nyaya dzokuti haanaki pakuvatana kwenyu unokwanisa kumuudza kuti zvinoita hure/hurerume rauri kuhura naro ndeizvi neizvi neizvo saka iye ngaazvidzidze izvozvo kuti mugare mese.

Chinonetsa ndechokuti vanhu hatidi kutaurirana chokwadi zvinhu zvichakanaka. Tinomirira zvosvika pakaoma tozofunga yokurambana asi tisina kumboudzana zvacho zvisiri kufadza. Ini ndagara madare akawanda evakaroorana. Unoona kuti chiri kupokanisa vanhu ava shuwa musoro chaiwo hachina asi kuchigadzirisa havadi.

Muchiri kufunga kuroorana paya garai pasi mutaurirane zvamunoda nezvamusingadi. Monyorerana pasi. Ndikawana nguva ndichasiya pano gwaro rinofanira kushandiswa nevanonyengana kana vada kuchiita masiriyasi nenyengano yavo kuti vakwanise kutaurirana zvavanokoshesa muupenyu. Munozopinda pakuroorana mese muchiziva zvamunoda kuti zviitike mumuchato wenyu. Ukazokanganisa unenge wava kuzviitisa.

Paya maroorana mukazorambana, pane imwezve nyaya inonetsa zvokuti makore maviri kana matatu ekutanga kuparadzana anokunetsai mese. Iri nyaya yokuti mukasangana kumwe kusina vanokuzivai, munokwanisa kungohwa rudo futi zvamaichiita kare, mopedzisira matomborhojana futi pauviri hwenyu. Zvoita sokuti chihure nokuti pamwe menge mava nevamwe vanhu muupenyu hwenyu. Tinoona vakawandisa vachimbovata nomurume mukadzi wekare asi mutsva avapo. Murume kazhinji akasiya mukadzi ane vana naye, panoita nguva yaanosangana naye kuti aone vana. Ipapo munoita nyaya pamwe mombovata mese.

Mukadziwo kana asina murume mutsva moyo unenge wava SOFT kubva pakutsvamwirana kwakakurambanisai. Anoona murume afunga mazuva akare otoitawo zemo. Vakamborhojana havashayani.

Potizve ukazoroorana nomunhu akarambana noumwe hauiti CONFIDENCE yokuti munhu wawaroorana naye haavati nomurume/mukadzi wake wekare. Izvi zvinoitika nokuda kwekuziva kuti vakawanda vanovata nema EX avo. Hakuna munhu asingazivi munhu anohura neEX yake, EX yacho yakatoroorana noumwe. Ukagara pasi ukatanga kuzvifunga unokwanisa kutoverenga vaunoziva vanozviita. Pano ndinowana mwadhi dzakawanda dzichibvunza mazano okurega kuvata ne EX, kuri kutya kuzobatwa nomurume/mukadzi mutsva.

Kurambana nomunhu wako kumufosa kuhura. Kana uchimurambira chihure, wava kutomuwedzera chihure.

Nyaya yepano ndeyokuti vaya vari kufunga zvokurambana nomurume/mukadzi vahwisise zvimwe zvezvinoitika panyaya iyi kuti vanyatse kuziva zvokuita. Musoro nemoyo pakadai zvinokwanisa kusadudzirana zvakanaka kusvika wasarudza zvinhu zvisina kukufanira.


Taurai tihwe vane Experience yazvo.!!!! 


Tuesday, 28 May 2013

Kusiyana pazera, murume nomukadzi

Ukatarisa vanhu vakawanda vakaroorana unoona kuti havasi vezera rimwe chete. Zvinokwanisika kuti murume mukuru pamakore kana kuti mukadzi ndiye mukuru. Kune nyika dzakaita sedzechiArabhu, zvinoonekwa kuti lazhinji murume ndiye mukuru asi tinonkwanisa kuwana pamwe mukadzi ari mukuru. Muporofita wavo wenhema uyu ainzi Mahamadhi aiva nevakadzi vana. Mukuru wacho ange ari mukuru pamurume, kozoitazve chimwana chaakaroora apfuura makore makumi mashanu change chichinhuhwa mukaka chine makore 9 pakuwanikwa.

Kana wasangana noumwe munhu, mukanyengana mukadanana watopfuura pawanga une mukana wekubvunza kuti ane makore mangani. Kana wange wabvunza akakuudza iwe ukada kudanana naye, wazvipa kwaari saka zera rake hauchinei naro asi kungoti pane nyaya dzatinoda kutaura pano dzinokwanisa kubatsira vaya vuura. Izvi zviri munyika dzese kwete yedu chete. achiri kusarudza wekudanana naye.

Varume
Varume vane dambudziko rokushaya CONFIDENCE panyaya dzerudo. Varume vakawandisa vanotya mukadzi ane njere kana kuti akadzidza kuvapfuura, ane mari kuvapfuura, anogona chimwe chinhu kuvapfuura. Izvi zviri kunyika dzese kwete kwedu chete.  Saka varume kuti zvivabatsire kuona sokuti va kachenjera uye vanotambira mari yakawanda uye vakadzidza, vanoti oda kuroora anonoroora musikana mudiki paari kureva kuti haana kumbowana mukana wekudzidza kana kushanda kana kuita chimwe chinhu chakapfuura chemurume uyu. Zvinoitigwa kuti murume agare ane munhu waanodarika kuita zvinhu saka anogara ane CONFIDENCE yake.

Kotizve panyaya yeRHOJI inova inoitika mumba kuvanhu vakaroorana, varume vanoda kuudza vakadzi zvokuita kuti agofamba achizvirova dundundu achiti ndiye akadzidzisa mukadzi kuvhura makumbo. Hakuna mukadzi anowanikwa asingazivi kuti achanosvikorhojewako.  Hakuna mukadzi asingazivi kuti kurojewa kunoda kuita manhede wovhura makumbo, kufongora , kuvata nedivi wosimudza gumbo, kisa mabvi pachifuva kana kukwira murume. Cheri chisikana chine makore 9 chinokuudza izvi. Asi varume vedu vanofunga kuti ibasa ravo kutidzidzisa nokuti vakuru patiri.

Kotizve nyaya yokudzvanyirira vakadzi kugaropa maCOMMANDS kuita sokuti murume ndiya Sajeni Meja. Unohwa rino rume rakagwinya rinoti kana richikukoira wenge waiswa guyo pamusoro izvo munhu, richikuudza zvokuita
Enda unondiitira tii
Ndiainirewo hembo iyo
Chienda unofanodziisa mubhedha
Fongora
Ndiisire mvura yokugeza.

Zvese izvi zvinoitiswa nokusahwisisa kuti isu tinofarira kusevha varume vedu. Ukatarisa imba inomukadzi nomurume navanakomana  uchaona kuti mukadzi anongoitira vana vake zvaanoitira murume wake kuvagezesa, kuvabikira kuvaainira zvese. Ipapo iye mukuru pavana ava asi haazvioni. Zvinoreva kuti zera romukadzi harinei nezvaanoita kumurume wake. Murume murume chete. Zvokuzoda kukomandha izvo kuda kuti murume agotyiwa nomukadzi. Hazviwedzeri kana kutapudza zviito zvomukadzi kumurume wake. Mukadzi chaanongoda kuziva kuti murume wake anomuda. Akangohwisisa ipapo zvese zvinodiwa nomurume anoita pasina mubvunzo.
Saka tichitaura chokwadi, panyaya idzi, kuroora mukadzi mudiki pauri hazvina chazvinokubatsira.

Vakadzi
Kana uchisarudza murume sarudza wakachenjera. Varume vanonoka kukura zvinoreva kuti murume ane makore 18 akainzana paMATURITY yake nomusikana ane makore 15. Zvese zvaanofunga zvinotanga zvabvunzwa chombo kuti nhaiwe chombo unobvuma kuti zvandafunga ndizvo here. Kana chombo chikati ndizvo iye oona zvirizvo. Akaona munhukadzi haaoni munhu ipapo. Anoona mazamu nemagaro chete zvokuti pamwe haatombozivi kuti musikana wacho ange akaita sei somunhu asi kungoti mazamu makuru, magaro makuru, chete. Zvinotomubhowa kuti musikana ange akapfeka dhirezi. Fungwa yemurume wezera iri inongoona pasina dhirezi saka usafunga kuti kupfeka kwawakaita kunei naye pakuona kwake. Ukatarisa mumabhuku e FEMINISM ndiyo nyaya huru iyi vakadzi vachikomburena kuti varume vanotiona sokuti tiri maOBJECTS hatisi vanhu. Saka zviri kwese mupasi rese izvi.  Ku INDIA ne SOUTH AFRICA nyaya dzokubatwa chibharo dzinoitika 1 per minute.  Hino iwe uchisarudza murume wosarudza achiri kufunga nechombo ziva kuti uchakasira kuita mateya nokuda kwekungorhojewa pasina zvimwe zvamuri kuvaka. Ndosaka vakadzi vachida murume ati kurei nokuti mufungwa ndiye wezera rake.

Pakusarudza mukuru uyu varume vanoona sokuti ndivo vasarudza. Hazvina ADVANTAGE kumurume kuti zera romukadzi riri papi nokuti vakadzi vari PREDISPOSED kusevha varume vavo. Murume ane makore 18 akaroora mukadzi ane makore 50, mukadzi achangoitira murume wake zvese zvinoitwa nomukadzi ane makore 18 akawanikwa nomurume ane 50. Hwisisai apa.

Pakurhojara.
Murume munhu anokwanisa kumisa chombo kusvika ava namokore kana 90 chaiwo kana achingova noutano. Murume ati kurei akaroora mukadzi wechidiki, anokasira kuhwisisa kuti mukadzi wake ndewezera diki saka anofanira kurhojewa kakawanda sezvinoita vechidiki. Anoziva kuti mukadzi wake akasagutsva achitanga kushamwaridzana nevarume vechidiki vanokwanisa kumupa ma SUPPLIMENTS. Saka murume akadai anowanzochengera mukadzi uye kubata mukadzi zvakanaka.

Mukadziwo chero achikwanisa kunyorova zasi nokwanisa kupinzwa chombo. Kana mukagaroisana mese munongogara muchiita zemo. Hazvinei kuti uri murume here kana mukadzi. Tinoona vanhu vanoroorana vari muOLD PEOPLE’s HOME vachitovatana zvinongoita vechidiki. Saka a pa zera romurume kana mukadzi harinei nazvo.

Pakunorhojana murume ati kurei anononoka kupedza zvokuti mukadzi wake anogara akaguta. Vechidiki vanoona sokuti kurhojana inyaya yemaRHOUNDHI. Kwahi “Nhai Mai chibwe, ndinofanira kukwira mukadzi wangu kangani pazuva?” kuita sokuti kangani ndiko kugutsa. Ini ndotsanangura ndoti kaviri paziuva kanogutsa chose asi koira maminitsi anosvika 15 uri mukati, uchapiwa rukudzo kusvika machembedzana. Zvinonetsa kuti vahwisise, Kwahi ndichamupa RHOUNDHI yekutanga ndozomumukira futi pakati peusiku.  Kusaziva kuti hapana zvawaita pese ape kuzhe kwekumushaisa hope nokumubhowa zvisingaiti. Murume wechikuru anohwisisa apa saka anowanzira mukadzi vese voita hope dzakanaka.

Chinoita kuti varume vade mukadzi wechidiki panyaya iyi ndechokuti haazotauri kuti haana kuguta. Anongogwadziwa akanyarara.

Peak yevakadzi nevarume
Murume anosvika pa PEAK yekurhoja ane makore 25 Mukadzi anozosvika ava 28. Saka kana uri mukadzi uchida murume akakwanirana newe pakurhojana wotsvaka murume mudiki pauri nemakore matatu. Kana uri murume woroora mukadzi mukuru pauri. Zvinorevazve kuti uchagarorhojewa kwenguva yakareba nokuti kurhojewa kunonontsa kumira kuzvara, saka uchaenda kumwedzi kwemakore akawedzera kupfuura vaya vane varume nyope vasingavagutsi.

Mukadzi mukuru pamurume haatyi kutaura zvaanoda kuti murume wake aita saka murume anogara achiziva kuti mukadzi wake anoda zvipi. Dambudziko revakadzi vasingatauri zvavanoda kuitwa nevarume vavo idambudziko guru kuvakadzi nevarume. Zvinonetsa kuudza murume mukuru pauri nemakore kuti haasi kukugutsa. Zvinomupa stress chaiyo zvokuti anobva awadzera kuchengera, kuri kutya kuti unonogutswa kumwe.  Mukadzi anotaura zvaanoda anokasira kugadzirisa nyaya dzenyu poshaika zvinodya moyo.

Pakuchembedzana
Varume vakawandisa vane upenyu hupfupi pae hwevakadzi munyika dzese. Mu UK vakadzi vanoita makore ten kupfuura varume. MuZimbabwe mazuvano vakadzi vari pasi pevarume nemakore anosvika 4 asi izvi zvakaitiswa nezvigwere zvechihure. Zvigwere izvi zvisati zvauya muZimbabwe maingovawo nechirikadzi dzakawanda kupfuura varume vakafigwa pangari yokuchembera. Kana ukaroorana nomukadzi mudiki pauri anokuchengeta wachembera. Kana ukaroorana nomukadzi mukuru pauri ndiwe unomuchengeta achembera. Asizve kashoma kuti mukadzi anochembera zvokutadza kuchengeta murume wake.

Kana mukadzi apedza kuzvara, anoita nguva yakareba achiwanza zemo nokuti kutya kubata mimba kunenge kwapera. Vekwedu vanotangira pa makore 45 zvichikwira (Average) KuEurope vanopedza kuzvara vachiri vadiki kuma 40.

Kana uchizvichengeta haukasiri kuunyana kumeso uye kungoita tsinga dzakati tande tande mumakumbo. Mukadzi anozvibata anongotaridzika chero akura. Saka hazvinei nokuti mukuru here kana mudiki pamurume. Munongochembedzana makadaro. Mukadzi ane murume wechidiki anononoka kuchembera iri ngari yokugarorhojewa zvakagwinya. 

Mukadzi mukuru pamurume anobata murume zvakanaka kupfuura mukadzi mudiki achiri kudzidzawo nezveupenyu. Mukubatwa zvakanaka murume anogara akagadzikana hana yake asina zvinomunetsa.
Mukadzi mukuru haanetseki nenyaya ye SECURITY zvokuti anohwisisa kuti mhuri inofanisa kurongwa uye zvinobvumiramwa. Mukadzimukuru anoitwa nyaya naye kwete kungoudzwa zvimwe akanyarara.

Saka tiri kuti kudiiko pano?
Tiri kuti mazera evanhu pakudanana kwavo haanei nokudanana. Kana wasarudza waunoda uchitiziva zvaari izvozvo, chigadzirai upenyu hwenyu mese moita mhuri yenyu mese kwete kugarofunga kuti mudiki kana kuti mukuru. Nakigwa noumwe wako chete. Zera handiro rinoda munhu. Zera handiro rinonaka. Nyaya dzemumba dzinonetsa vanhu dzakawanda asi ishomanana dzinobva pamazera evanhu.


Kune varume vanozodawo kuroora zvivana zvichangobva pazamu iri nyaya yokuda kudzvanyirira. Kupokana kwavo nevakadzi vavo kunobva pakuramba kudzvanyirigwa kwete pakuti mazera akasiyana.



Tiudzeiwo vane nyaya idzi mumba kuti pane nyaya here dzine musoro dzinobva pakusiyana zera.

UDZAI VAMWE!!!!!

Mimba yokutanga

Mimba yokutanga inonakidza kuiita kana waiita wakawanikwa zvakanaka mhuri dzese dzichizvitenda kuti mava murume nomukadzi. Kana waita zvokumitiswa ukatizira, mimba yako haimbokunakidzi zvachose nokuti unenge usina kugadzikana hana, uchitya kusadiwa nomurume nehama dzako, uku usina kwekudzokera kana wadzingwa. Kotizve vamwe vakawanda vanenge vasingatozivi kuti murume akamuisa mimba yacho ndiani ongozopomerawo rimwe fuza ranga richivata naye pasina makondomu. Pakupomera apa nyamimba anenge achiziva mufungwa make kuti zvinokwanisika kuti mimba haisi yeuyu saka zvikazozikamwa panonetsa. Pakadai mimba hainakidzi kuitakura.

Kana zviya maronga yokuita mimba. Hwisisa kuti mimba haibati paunopiwa urume ipapo. Pakuvatana murume anokusiira urume mukati mechitubu. Kumberi kwechitubu chako kune muromo wechibereko chinova ndicho chinobata mimba kana zai riri pedo mukati macho. Urume hunofanira kuwana muromo wechibereko hwopindapo hwotsvaka zai hworiwana, chiburuvuru chimwe chete chourume chikangopinda muzai, wotokwanisa kuita mimba. Kwahi kana iri vhiki yako yokukandira zai, hwisisa kuti kurhojana kwenyu kunofanira kuita zvine musoro. Ziva nguva dzako.

Kubva pakupiwa urume kusvika pakuti zai rawanikwa zvinokwanisa kutora nguva yakareba inosvika kana 30 hours. Urume hunoita mazuva maviri kana matatu huri upenyu huchingodhidza mukati mako kutsvaka zai. Unokwanisa kupiwa urume muHarare, ugozobata mimba wave kuChina kana kuUSA. 

Chimwezve ndechokuti hapana chinoitika chokuti ungaziva kuti waita mimba nguvai kana kuti uzive kuti wava nemimba. Kana wafunga kukasira kuziva kune zvinokwanisika kuti uziva kwapera nguva shoma shoma. Vanopa maTEST vanoti unokwanisa kunotestwa kana watadza kuenda kumwedzi kokutanga zvinoreva 14 days, asi unokwanisa kuziva kwapera 7 days. 

Kana wakasira kuenda kutest, zviri nani uzoitazve imwe Test kwapera 14 days.  Hwisisazve kuti muviri wemunhukadzi unoti ukabata mimba, wotanga kuongorora mimba yacho kuti mwana ari kutanga kugadzigwa zvakanaka here. Ukaona pane mistake unobvisa wega mimba isati yamboenda kure. Izvi zvinoitika kuvakadzi vakawanda chose zvokuti haatombozivi kuti ange abata mimba. Unokwanisa kutora TEST wohi une mimba, wozotorazve test kwapera imwe nguva wowanika usina mimba.
Koitazve zvimwe zvinorambanisana vanhu vanoita mimba vasina kuroorana. 

Toti wavata nomurume nhasi wobata mimba kopera mazuva, iwe woenda kuTest woudzwa kuti une mimba. Napo napo mimba yobva yega iwe usingazivi, Murume kana achifarira mimba yako, acharamba achikurhoja iwe wobatazve mimba mwedzi unotevera asi pese apa wange uchifunga kuti une mimba. Zvinoreva kuti mwana anoita seazvagwa ane mwedzi gumi.  Pahwisisei apa.  Zvinoita sokuti wakanyebera murume kuti une mimba iwe usina.  
Ndizvo ndichigarotaura pano kuti vanhu rongai zvemimba kwete kungoita dzokuerekana waita idzi, zvikuru kana musina kuroorana. Upenyu hwemunhukadzi asina kuroorwa hunonetsa kutsanangura kana ada zvokuita mimba mazuvano. Kuenda kubasa uri wega nemwana zvinonetsa.

Nguva yokuudza mhuri kuti une mimba

Zviri nani kuti kana waita mimba umbomira kuudza mhuri dzenyu nokuti sezvandataura inokwanisa kubva yega. Zvinofungigwa kuti kana kwapera mwedzi nehafu uchinayo zvoreva kuti yagadzikana. Saka unokwanisa kutanga kuudza vaunoda kuudza. Mimba chinhu chinofadza zvokuti inonetsa kunyarara kana waibata, zvikuru kune vaya vamwe vanga vachiziva kuti uri kuzama kuita mimba.

Pozoitazve mitemo yedu isu vatema inotorana nezvokutya kuroiwa kana varoi vaziva kuti une mimba. Pano tinoti varoi hakuna saka zvaunoita zvinobva pakoona SOCIAL VALUE yokuudza hama dzako kuti une mimba.

Mitemo yemimba
Kana wabata mimba yokutanga, pane mitemo yakawanda inotevegwa pachiKaranga. Mizhinji yacho haina zvainoshanda pamimba yako asi kuti yakaitigwa kukurudzira hama dzako kudya mbudzi pakuungana. Mimba hachisi chigwere chinoda kurapiwa. Hakuna mushonga wekuirapa unodiwa kudyiwa kana kutsvakwa. Mushonga wemimba kuzvara mwana chete. Unofanira kungogara magarire awanga uchingoita. Mimba inongokura makurire ayada iwe uchingozvichengeta paunogonera.

Tinoona kuti munhu wechidiki akangoudza hama dzake kuti ane mimba, vaya vakuru vemhuri zvikuru vanhukadzi votanga kumiramira kutsvaka mishonga yokupa nyamimba. Unoona nevanhu vanoenda kuChurch vachitevedzerawo izvozvo asi chavari kurapa chacho hapana anochiziva. Mukadzi haasi kugwara, mwana ari mudumbu haasi kugwara saka mushonga ndewe chii? Hapana anokupindura kwahi imwa chete. Izvo wotokuvadzigwa mwana wako asati atombokura. Mishonga yedu yechibhoyi iya isina DOSE inokwanisa kukukuvadza tsvo iwe igokuvadzazve mwana ari mudumbu. Zvikuru kana ukaudzwa kuti unofanira kutodya mushonga wacho iwewo ukaterera ukazongoswera wongokasva mazimvura akanyikwa zvnhu zvausingazivi.

Kune vamwe vanokuudza kuti kune mishonga yokuvhura masuwo (nzira) kuti mwana agokwana kubuda. Ukahwa munhu anokuudza zvakadai mubvunza kuti ko vakadzi vanoita mimba ku China, Europe, Japan, Korea, Amwrica, Australia, seiko vasingazotengi mushonga uyu kwedu kuZimbabwe tikatoitawo Industry yokugadzira mushonga wekuti vakadzi vagone kuzvara vana. Unoona munhu ongokakamira ashaya chokukupindura nokuti vakawanda vokwedu havadi kubvuma kuti kune dzimwe nyika kune vanhukadzi vakangofanana nesu panyaya idzi.  Vanofunga kuti muviri wemunhumutema wakasiyana neyevanhu vemamwe marudzi. Iri ngari yokusaziva Biology yokuti muviri wemunhu unoziva nguva yokuzvara.

Kana uri kune imwe nyika, hapana anokunetsa nenyaya iyi vanongokurega une mimba yako uchingonovhenekwa kuti mwana ari kukura here. Vadaro vanokuudza kuti udzoke musi wekuti tizovhenekazve. Chikaranga chine nhema dzakawandisa asi unofanira kuziva padziri iwe kuti usiyane nadzo.

Wava nemimba:
Kana wava nemimba muviri wako unotanga kuita zvawange usina kumboita. Kukapera mavhiki matanhatu unotanga kuhwa kuda kurutsa. Pamwe unomborutsa mangwanani. Vamwe vanotorutsa zvakawedzera zvokuti nguva dzese anogaroda kurutsa. Zvinohi kana wakatakura mwanasikana unowedzera kurutsa.  Asi ipapo haungazivi kuti uri kurutsa zvakadii nokuti imimba yokutanga.

Hapana chakaipa kurutsa asi kuti zvinobhowa uye zvinokutorera nguva. Unoti ukanhuwidza chimwe chinhu wototanga kuhwa kuda kurutsa. Vamwe vanotadza kudya zvinhu zvavaisidya nomufaro. Kurutsa kwemimba hakutori nguva yakareba. Kunokwanisa kuita mwedzi nehafu uchingohwa kuda kurutsa.

Kana zvanyanyisa enda kukiriniki undopiwa mshonga wekurutsa kuti uwana mukana wekuzorora nazvo.

Wedzera GINGER muzvokudya zvako. Vamwe vanoti inobatsira kuderedza zvokurutsa. 

Cravings:
Unokwanisazve kuda zvimwe zvhinhu kupfuura mazuva awange usina mimba. Izvi zvinokwanisa kuramba zviripo kusvika mimba yazvagwa. Hakuna anonyatsoziva kuti zvinoitiswa nei asi kuti pamwe unokwanisa kungoda kudya zvinhu zvausingasidyi. Unoona munhu achidya vhu chairo kana madota nemazimbe. Pane shamwari yangu aiti akavesa moto obika, idzima moto nemvura ochengeta mazimbe omadya mangwana.

Ini ndaidya madomasi asina kubikwa, chinova chinhu chandisingamboiti ndisina mimba.

Kuneta nokuita zvisina kukodzera. 
Chimwezve ndechokuti unohwa wakaneta kupfuura mazuva awange usina mimba.

Kune vasikana vakawanda vanoti kana abata mimba fungwa dzinomboita sokuti dzasiyana. Unoona munhu achiita zvaange asingamboita asina mimba. Sokuti anotanga kungovenga murume wake, kutuka murume, kuita hasha, kana kuita zvimwe zvaasingafungigwi. Varume vanombosvika pakunetseka nazvo nokuti havahwisisi kuti imimba iri kuitisa. Inyaya yemaHORMONES anenge asiyana BALANCE mumuviri.

Kana waita mimba ukasakwanisa kugara nomurume wako mazuva aunenge usingahwisisi zviitiko zvomuviri wako, inokwanisa kuva nguva inogozha chose kwauri. Mimba inoda muripo vaviri muchiona zvairi kuita pakati penyu.

unofanirazve kugarofamba kutoenda kure uchizodzoka neshoka kuti muviri wako ugare une utano, zvinova zvinobatsira pakuzvara. Kana mugere zvakanaka wedzera kuvata nomurume uzame kuudza murume anonoke kupedza kuti uitewo orgasm zvinoitisa kuti kuzvara kusanyanyonetsa.

Pamutemo. 
Mutemo wakaita sewemu UK unoti kana mimba yasvika 24 weeks yava kuonekwa semwana. Pase apa pawanga uchiti une mimba mutemo hauna basa nazvo. Unoti uri munhu umwe chete. Kana wangosvika pa 24 weeks zvohi une mwana mudumbu. Munhu akakuuraya anohi auraya vanhu vaviri. Akazama kukuraya anohi azama kuuraya vanhu vaviri.

Haubvumidzwi kubvisa mimba yapfuura 24 weeks. Chero madhokotera ukakumbira havabvumi asi kana uchangotanga kuita mimba havana kana basa nazvo. Ukati unoda kubvisa hazvitori nguva vasina kubvisa. Vanopinza vacuum cleaner muchibereko vosaka mwana kunge marara emumba. Zvatopera wohi chienda. Ukabvunza vakambozviita vanokuudza kuti unoenda kuseni wozovirigwa wava kumba mwana atobvuswa akapiswa.

Asi kana mimba yangosvika 24 weeks wotomirira kuzvara mwana. Ukasvodza unokwanisa kuita Funeral yemwana uye kumupa zita asi havakupi Birth certificate havo asi vanokuratidza mwana.

Kune dzimwe nyika havadi kutombohwa kuti kunobviswa mimba. Unokwanisa kusungwa kana ukabatwa uchizama kubvisa.

Kana une murume kashoma kufunga zvokubvisa saka chiripo kungoziva kuti pa 24 weeks mimba pamutemo ave mwana .

Kwedu kuZimbabwe mutemo haubvumiri kubvisa mimba. Ukazama kubvisa unokwanisa kufa nazvo kana pasina madhokotera. Vakadzi vakawanda vanozama kubvisa vanoitiswa nokuti murume amupa mimba haamudi. Zvabva pakuti iye mukadzi munhu asina njere anoda kushandisa mimba kufosa murume kumuroora.

Varapi
Kana wangohi une mimba unofanira taurira dhokotera wako kuti achikuisa pa REGISTER yevanhu vane mimba. Kana uri kuEurope uchaona kuti kune maOrganisation anoti ukangoita mimba votanga kukutiumira mapepa okutsanangura zvakawanda zvokugadzirira kuva mai vemwana uye madambudziko anokwanisa kuitika. MaOrganisation awa anozviita iri ngari yokuti vane ma CONTRACT ne hurumende.  Unofanira kuverenga mapepa awa nokuti anodzidzisa zvakawanda.

Kana uri kune imwe nyika isiroi Zimbambwe, hwisisa kuti hakuna hama dzinokwanisa kukubatsira panyaya iyi saka zvese zvaunofanira kuita unotoudzwa nevarapi. Asi kana tichitaura chokwadi tinoti vanoziva zvavari kuita saka hapana chokutya. Kana ukafungura kuti pane chakaipa kasira kuvaudza. Vanokutarisa kuona kuti zvakamira sei. Mazuvano kune michini inokwanisa kutarisa mwana ari mudumbu kuona kuti ri kuitei, vachiterera moyo wake kuti uri kuti kudii.

Kana uri mu Zimbabwe, gara uchinoonekwa vachitarisa kuti zvakamira sei.

Kuvhinza chibereko une mimba
Kana wabata mimba chibereko chinozama kudzivirira zvigwere zvinouya kumwana zvichibva kunze zvichipinda nomuchitubu mako. Kudzivirira kwacho kunoitwa nokuwedzera zvinobuda muchibereko zvichipfuura nomuchitubu zvichienda kuzhe. Chibereko chinofunga kuti kana zvinhu zvichierera zvichienda kuzhe zvakaipa zviri kubuda saka hapana chiri kupinda. Saka ukapinzwa chombo nomurume wako akakusiira urume mukati zviya zviri kuvhinza kubva kuchibereko zvinopfuura nomuchitubu zvichisuka nokutora nokunorasa pazhe.

Ndiri kutaura sokuti pane gwizi guri kueredza kubva muchibereko asi handizvo. Unongoona kuti zvinobuda muchibereko zvawedzera kupfuura zvazvinosiita usina mimba. Usatyiswa nazvo. Kana mimba ichikura zvinowedzerawo kusvika pakuti wava pedo nokuzvara uchaona kuti pamwe zvinowanda zvakaita semadzihwa. Kuitira kuti muviri ugadzirire kuzvara. Pamwe unoona pane karuvara keropa. Hapana chakaipa. Ndiwo maitire azvo.

Mazamu
Uchaonazve kuti mazamu ako anowedzera kukura uye minyatso inokurawo. Paganda rakasvibirira rakatenderedza minyatso ronowedzera kukura. Uchaona futi kuti gana rako remuviri wese rinotsetseka zvinova ndizvo zvinowedzera murume zemo kana muri mese.

Dumbu zenene
Mimba ichikura inokurira zaso zvokuti dumbu rinokura iwe muridzi wotadza kufamba mafambire awaichiita usina mimba. Ukasundidzigwa unokwanisa kukasira kuwira pasi.
  
Zemo kana une mimba.
Zvinokwanisika kuwedzera zemo kana une mimba. Zvinofungigwa kuti izvi zvinoitiswa nokuti wava nemimba saka hauchatyi kuita mimba, uye ma HORMONES ako anowandisa mumuviri wako. Zvinokwanisika kuti ude kungoiswa pesepese uye kutoshungurudza murume pazviri achitadza kukuisa zvinokugutsa. Kune vakawandisa vanoona sokuti murume haachagoni basa saka vanowedzera kuzviitisa ORGASM nemaoko. Zvinokwanisika kuti mamwe mazuva unodaro zuva nezvuva kana kaviri pazuva. Zvinobatsira kubvisa STRESS uye kuderedza kufunganya nokuda kwemimba.

Vanhu vari kunyika dzinoti munhu anoita mwana umwe chete kana vaviri vanogarotya kuita mimba. Kana watova nayo kutya kuya kunopera wongoisa fungwa pakunakigwa.

Zvinokwanisikazve kuti unotanga kuvenga murume zvokuti hautodi kumuona. Kune vamwe vanotosvika pakunovata kure nomurume. Pamwezve unokwanisa kusangoita zemo une mimba zvokuti kunopera nguva usinei nokuiswa nomurume.

Hapana chakaipa pakuvata nomurume kana une zemo. Hapana chinokanganiswa nazvo. Kune varume vakawandisa vanoti mukadzi akaita mimba votomuona akawedzera kunaka uye hwema hunobva paari hunovaitisa zemo kuti vade kuvata naye zvakawedzera. Kana uchizvidawo vata zvako naye unakigwe, hapana chakaipa.

Zvinohi vakadzi vanoitiswa ORGASM nevarume vavo kakawanda vane mimba havanetseki pakuzvara uye havabvaruki zvinoita vamwe pakuzvara. Mahormone ekuzvara anowanda zvokuti muviri haunetseki, chero mimba yokutanga. Saka varume ndiro basa renyu kana mukadzi aita mimba wedzerai rhoji uye kuwanza nguva kana moitana. 

Koitazve vamwe varume vanotyiswa nokupinza chombo mumukadzi ane mimba ava vashoma havo asi kana unaye unokwanisa kusvika padambudziko. Koita varume vanotya mikadzi ane mimba, zvinoshungurudza mukadzi awedzera zemo kuva nomurume akadai.

Murume akadai munhu asingahwisisi BIOLOGY anofunga kuti chombo chinokwanisa kugumha mwana. Hazviitiki izvi nokuti mwana ari kure chose nokunosvika chombo muchirhojana, uye kwaari kwakavharika zvokuti hakuna chinokwanisa kusvikako.

Kana mada kurhojana hwisisai kuti mamwe maitire haachaiti kana mimba yakura. Zvotoda kuti mukadzi afongore murume opinza ari shure kana kuti mukadzi ovate nedivi murume akavatawo nedivi ari shure , mukadzi osimudza gumbo murume opinza. Zvokupakicha makumbo pamafudzi emurume momborega. Munokwanisazve kuti mukadzi oita manhede pamubhedha murume ogwadama pasi chaipo okwevera mukadzi kwaari opinza asi zvinonetsa nokuda kwekukwira kwemubhedha.


Murume ngaahwisise kuti chikapa chemakwikwi kana une mimba yakura hachiiti. Mukadziwo hwisisa kuti murume haana mimba saka zemo anongoita saka ukawana kana kazemo kokutsvanzvadzira kwezva murume umutapudzire unga kuti asaona sokuti iwe nemimba yako muri mese asi iye asara ega. Zvikuru kana uri munhu apedzwa zemo nemimba kana kuti avengeswa murume nemimba. 

Murume wako ari kutoshupikawo fungwa nokuda kwemimba yako nokuti haazivi kuti ichafamba sei. Itai mimba yenyu pamwe chete muchidzidza mafambire ayo mese. Ndizvo ndichigaroti nyaya dzokuendeswa kuvabereki une mimba hadzisiridzo. Vanoda kuita TRADITION iyi itai henyu asi inosiya baba vemimba vari vega pasina zvavanodzidzawo nokuona mimba yavo.  Ukakumbira kusaenda kwamai unongobvumidzwawo chero zvirango zvaitwa chete. Vanongoda kudya mbudzi chete pasina imwe nyaya. endesai mbudzi chete imi mosara nemimba yenyu.


Zvokudya une mimba:
Ndichada kumbotaura nyaya yezvokudya une mimba uye kuti sei zvichinzi ungwarire zvaunodya.

Fruit and vegetables
Zama kudya michero yakawanda yakasiyana siyana, iri FRESH kana kuti iri mumatini kana kuti yakaomeswa. Yese yakanaka kuidya.
Idya muriwo wemarudzi akasiyana siyana. Kana ukaita mimba muzhezha unokwanisa kuwana muriwo wemarudzi unenge wakawanda. Kunoti wemugadheni koti wekumera musango. Garodya wese wese. Kana wafunga kuita mimba nguva yechirimo, wana nguva yokufusha muriwa wako wakawanda wogara nawo mumba kuti usazotambura kuuwana nguva yemimba.  Kana uri mune imwe nyika isiri Zimbabwe, wotoona kuti unogaroenda kumusika kundotenga muriwo wemarudzi akawanda. Pazuva rimwe chete unofanira kudya muchero kana muriwo kashanu. Hwisisazve kuti kana uchiri kurutsa unofanira kuwedzera zvaunodya.


Starchy foods (carbohydrates)

Unofanirazve kudya zvinhu zvine STARCH zvakaita se chingwa, mbatata, mupunga, sadza rechibage, sadza rezviyo, sadza remapfunde, porridge Oats, mbambaira, Zveupfu huya hwakacheneruka hwakaita se PALENTA mombosiya nokuti zvese zvakanaka pahuri zvakatobviswa. Ona wega kuti zvauri kudya zvakasiyana siyana kuti mwana akure ane zvese.

Protein
Zvinhu zvine Protein zvinoti, nyama dzakasiyana siyana, hove, nyama yehuku nedzimwe shiri, mazai, bhinzi dzakasiyanasiyana, nzungu, nyemba,

Dairy
Mukaka, cheese, Yoghurt,

Healthy snacks
Kana une mimba unogarohwa zhara zvokuti unoda kumbofanodya zvimwe zvinhu zvidiki. Ndipo paunodya muchero kana chimwe chinhu chidiki. Pane zvinhu zvaunofanira kusawanza mukusarudza zvokudya zvako. Zvikuru zvinhu zvine shuga yakawanda. Imbozama kusiyana nazvo.

Pakudya muchero tanga wasuka muchero wacho zvikuru kana wautenga kumusika nokuti unobatwa navanhu vakawanda vamwe vacho vane utachiona. Kana une mimba haufaniri kubata zvigwere. Saka kusuka muchero kunobatsira pakudzivirira zvigwere.
Unofanirazve kuwedzera utsanana mumba zvokuti utarise zvese zvese kuti hapana chinokwanisa kupinda mumba mako usina kuchiongorora kwachabva uye kuti chingangounza zvigwere sei. Zvese zvinokwanisa kubikwa bika kuti utachiona hufe. Zvinofanira kusukwa suka.

Kana uchikwanisa, imborega kutenga zvinhu zvinouya zvakatobikwa zvakaita se PIZZA, Machips, ma READY MEALS, zvinobikwa mu Microwave.



.Kuzvara kunogwadza zvakadii?
Chinhu chikuru ndechokuti mimba yokutanga usaizvarira kumusha. Enda kuchipatara. Kana mwana azvagwa kasira kubuda uende kumba. Muzvipatara mune zvigwere zvakawandisa saka usapedza nguva urimo.

Kana waita mimba, unotofanira kuzvara mwana chete uye kuzvara mwana anobuda muchibereko chiya chine kamuromo kakaita sebhatani rehembhe kanobudisa ropa rokumwedzi, opinda muchitubu ophuura nemo.obuda kuzhe vagamuchiri vogamuchira.

Kuti mwana akasire kutanga kufema, anotanga kubuda musoro. Zvakadaro musoro uya ndiwo mukuru saka zvese kubva pachibereko kusvika pachitubu zvinotatamuka kuti mwana akwane kubuda. Pakutatamuka paya zvinoitika nenguva dikidiki saka ndipo panobva kugwadza kwacho.

Ukafunga kuti ukapinzwa chombo usina kunyorova zvinogwadza sei, ugozofunga kuti kusiyana kwemusoro wechombo nomusoro wemwana unobva wafunga kuti hazviiti kuzvara. Asi muviri wemunhu kana woda kuzvara unogadzirira kuzvara wogadzira maHORMONE ekuzvara anokudza zvese chibereko nechitubu, nokugadzira mvura nemadzihwa ekuzvarisa kuti kugwadza kusawandisa.

Zvakadaro unongogwadziwa chete. Zvinonzi kana une shoka dzakakura zvinoreva kuti chiuno chako chakarawo saka mwana anonyatsokwana pakati pemabhonzo echiuno kureva kuti haunyanyi kunetsa kutatamuka. Kana une shoka diki chiuno chako chidikiwo saka unonetseka zvakawedzera.

Kozotizve vana vachizvagwa vanozvagwa vane saizi dzakasiyana. Vamwe vari vahomwe vamwe vari vadiki. Zvinoenderanawo nokugwadziwa kwako izvi. Kune vamwe vana vanosvika 5kg kana kupfuura.
Kugwadza kwemimba yoda kuzvara kunokwanisa kutora nguva yakareba pamwe varapi vanotozoona kuti yagarisa vopindira. Mimba yokutanga inoda kuzvarigwa kuchipatara kwete kumusha sezvavaiita kare. Kana musina mari yokuenda kuchipatara, mirirai kusvika yotanga kugwadza mongobvapo mumhanyira kuchipatara. Mukadaro havarambi kukurapai. Mapedza vakati vanoda mari menge musina mari yacho.

Kugwadza kwemimba kwakasiyana nokugwadza kwezvimwe zvinhu. Hazvibatsiri kuti nditsanangure kuti zvinogwadza sei nokuti hapana chaunohwisisapo asi kungoti mwana kana oda kubuda anobuda chete. Zvokuti mai vake vanogwadziwa izvo haana basa nazvo. Iwe chingohwisisa kuti mwana anofanira kubuda saka unoita zvinotaugwa navarapi pakuzvara.

Muupenyu hwemunhukadzi mune nyaya dzakawanda dzaunoudzwa kuti dzinogwadza. Ngatimbodzitarisa.
1 Kana wava nemakore 8 unotanga kuudzwa nezvokuenda kumwedzi. Unohwisisa kuti uchabuda ropa kubva muchitubu. Zvese zvaunoziva kuti zvinobuda ropa zvinogwadza saka fungwa inongoti zvichagwadza. Paunozoenda kumwedzi, unoona kuti zvinogwadza hazvo asi hazvisviki pawanga uchifungira.

2 Paunobvswa humhndara unenge wakaudzwa neshamwari dzako kuti zvinogwadza. Iwewo uchizvifunga uchihwa kuti panobuda ropa, unofunga kuti zvinogwadza saka unenge wakatogadzirira kuchema, asi musi wacho unozoona kuti zvinongoita sewabaiwa netsono mbiri kana nhatu zvobva zvatopera.

3 Pakuita mimba unoudzwa kuti mimba inogwadza kuzvara. Unoudzwazve kuti panobuda ropa pagobvaruka pagosonwa. Fungwa inotanga kuti nyaya iyi ihombe chose yokuudza kuti zvichagwadza. Pamwe ugoudzwa kuti kune vanofa vachizvara. Unoti ukafunga kuzvara wohwa hana kurova. Asi musi waunozozvara unoona kuti inogwadza hayo asi haisviki pawange uchifungira.

Mukadzi munhu akasimba kupfuura murume saka zvokugwadziwa izvi tinazvo hedu asi zvikaitika tinokasira kukangamwa totofunga nezvokuita imwe mimba futi. Zemo riri mberi kwekugwadza kwemimba saka ukangowana mkana wekuvata nomurume unotovata naye chete. Hakuna munhu akaramba kuvata nomurume achiti nkuti mimba inogwadza.

Kana uchizvara fungwa yese iri pakuzvara. Vanokuona vanoona kuti uri paDISTRESS iri nyaya yokuti uku uri kufunga nezvako iwe pachako uku uri kufunga nezvomwana nokuti hapana chaunoziva paari.

Kubvaruka/kuchekwa nokusonwa muromo wechitubu.
Pamwe musoro wemwana uchibuda unokwanisa kuva wakakura zvokubvarura muomo wechitubu chako. Pamwezve varapi vaona kuti ungangobvaruka vanofanocheka kuti pakure. Zvadaro mwana abuda unosonwa. Kana vachicheka vanocheka zasi kwakananga kuburi resvina kana padivi.

Kana vakusona haunonoki kupora. Unokwanisa kuita vhiki wobva wanobviswa maStitch, wombogara wakadaro hako asi panokasira kupora.


Chii chinokwanisa kukanganisika pakuzvara:
Zvakawanda zvinoitika pakuzvara asi usagara uchizvifunga uchity kuti zvinoitika nokuti zvinoitika kuvanhu vashoma. Asi kungoti mimba yokutanga haidi kungoti waiita wongagara kumba usina kuudzwa kuti yakamira sei.

Zvinoitika zvinoti:
1 Labour yasvika nguva isina kukwana: Kana mimba ikagwadza isina kukwana vhiki 37 inonzi yakasirisa. Pakadai zvinoda uri kuchipatara kwavanokwanisa kuisa mwana muINCUBATOR kana ari mudiki zvakanyaya.
2 Mwana kuzvagwa achitanga magaro kana shoka. Zvinonzi BREECH. Mwana anofanira kutanga musoro. Kana zvakadai hazvina kunaka.
3 Mwana kukurisa. Iyi haisi nyaya inotyisa nokuti pakuzvara kana musoro wemwana wangopfuura, muviri wake unopfuurawo chete.
4 Kuwanda ropa rinobuda. Unokwanisa kuti paya uchizvara potanga kubuda ropa rowandisa. Kana usiri kuchipatara zvinokuomera.
5 Unokwanisazve kubudisa tsvina uchizvara. 

Kuzhe kweizvi, kuzvara hakuna zvakanyaya zvinokanganisika saka gara hana yakadzikama.

Kududzira pakuzvara
Kare paiva nomutemo wekuti mukadzi achizvara mwana anogara audzwa kuti akasadudza kuti murume akamuitisa mimba ndiani pakuzvara, mwana anofa. Izvi zvaiitigwa kuti mai vaya vanogamuchira mwana azvarigwa muraini vave munhu akaremekedzwa nevakadzi vese vavagamuchirira mwana nokuti vanoziva kuti nhingi nanhingi anohura.

Ndipo pakabva nyaya iya yokusungira kuti mukadzi andozvarira kumusha kwake kuti zvitange kuzikamwa kwake kuti akahura here kana kwete. Zvadaro vanomudzosera kumurume vongonyarara. Kana dai azvarira kumusha kwemurume akadudza chihure ikoko, anongoti achipedza kuzvara achitorambwa. Nyaya yokunosungira inogadzirisa nyaya dzakawanda pazviri. Zvikuru murume akaroora asingatozivi kuti musikana atova nemimba youmwe murume. Kune vasikana vakawanda vanoita mimba vasingatombozivi kuti baba vemwana ndevapi pavarume vaari kuvata navo vaviri kana vatatu. Anobva atizira umwe wavo otowanikwa, ipapo zvikafamba zvakanaka anonosungigwa ozvarira kwavo, nyaya yatopera.

Mazuvano vana vanozvarigwa muzvipatara saka hapana wekududzira. MaNESI haanei nazvo kuti awairhojana naye kusvika uite mimba ndiyani. Vanongogamuchira mwana wese chero paazvarigwa. Saka nyaya yokusungira yangove nyaya yokuti vemhuri yomukadzi vadye mari yomukuwasha wavo. Zvangori zvekuda kuita Party chete. Kana zvikuwasha zvinoshaya mari ye UNDERWEAR zvinongohi zvitenge mbudzi chete kuti vanhu vadye vachiti nokuti wakaisa mwana wavo mimba, asi zvirizvo zvaange avinga kumba kwemurume wake.  Mazuvano hakuna achambokubvunza kuti akakuisa mimba ndiyani.

Tichiongorora tinoona kuti nyaya yokududza pakuzvara yange iri nyaya isinawo hayo kunaka nokuti Mwana anokwanisa kushaika panguva iyi asi iwe ipapo hauna kana kumbohura. Vaya vanofunga kuti kuhura kusadudza kunouraisa mwana vobva vakufungira kuti wange uchihura. Ipapo ndivo vanhu vaunoda kuti vakusapote pakushaika kwemwana wako uri padambudziko rinodiwa kuchengetwa nehama neshamwari. Uyezve mazuvano tinoziva kuti kuhura kana kureva nhema hazvinei noutano hwemwana. Saka tinokasira kuona kuti SYSTEM yakare yange ine ugino mukati. Chakaitisa kuti ishandiswe kwenguva refu kudai ndechokuti pakuzvara unokwanisa kuita DISTRESS yokuti chero chawaudzwa unofunga kuti ichokwadi.

Mbuya vanogamuchira mwana vaimirira kusvika musoro wemwana wowonekwa kuda kubuda vochikuti DUDZA KUTI BABA VEMWANA NDIANI. UKASADUDZA MWANA ANOFA. Iwe sokusaziva uye kugwadziwa, uye kada mwana wako, wofunga kuti ichokwadi wotanga kuvaudza mazita evarume vaunofungira kuti ndivo vangava vakakupa mimba.  System iyi yange ine utsinye chaihwo. Kana uri umwe wevanhu vaka nge vachirhojana nevarume vakawanda ukazotizira umwe chete, zvarira kuchipatara hako asi uchazobatwa noumwe mutowo. Pane iyi, wapukunyuswa nezera.

Rusvava
Mwana achangozvagwa anohi RUSVAVA. Mwana anozvagwa asina RESISTANCE kuzvigwere zvakawanda chose uye anozotanga kuita RESISTANCE kwapera nguva inoita 6 weeks. Zvinoreva kuti mazuva okutanga kana zvichikwanisika musarega vanhu vese vese vachibata mwana. Kana mwana akabata chigwere, anonetsa kurapa nokuti haakwanisi kutaura kuti panogwadza ndepapi.

Pakubata zvigwere apa ndipo pakaonekwa nevanhu verudzi gwedu ndokuchigadzira mabhizimisi akawanda chose ekurapa vana. Unoodzwa musi wekutanga kuti nyika midzi iyi mumvura ugomwisa mwana mvura yacho nokuti mushonga unorapa ichi neicho neicho. Ukatarisa zvigwere zvacho mumabhuku ezvigwere hauzviwani asi uku watobhadhara huku mbiri kana nhatu kutenga mishonga yokurapa mwana.

Haisi nyika yedu chete ine mabhizimisi awa. Europe, America, Australia, chero, zviriko.

Mushonga mukuru wemwana rusvava, mukaka wamai vake. Mwana anofanira kupiwa mukaka wamai vake kupfuura nguva inoita 6 months. Pa6 weeks paya anobva atora RESISTANCE yezvigwere kubva mumuviri wamai vake.  Zvimwe zvese zvamunomupa izvo ipai henyu asi mushonga mukuru mukaka wamai. Vaya vanoramba kumwisa mwana vachiti nokuti mazamu anozorembera vanhu vasinei noutano hwemwana. Kana une shamwari yakadai, zama kumukurudzira kumwisa mwana.

Mukaka wezamu wakasiyana zvichibva nenguva yacho. Mukaka wekutanga unova wakaita YELLOW unokasira kupera kozoita mukaka muchena. Kuchinja kwemukaka kunokwanisa kutora mazuva anosvika ku 14. Unokwanisa kuti ukazvara mwana unoona kuti makaka unoita seizvi?

1 Musi wekutanga mukaka wakaita Yellow/Orange. Mwana anomwa zamu asi zvinoita sokuti hapana chaanowana. Usatya nazvo. Mwana anowana mukaka uyu asi uri mushomanana. Haadi wakawanda. Mukaka uyu wakasimba uye une kudya kwakawanda kunodiwa nomuviri.

2 Kwapera mazuva maviri mukaka unotanga kuchinja ruvara asi zvinotora nguva. Kune vamwe unoita 7 days uchichinja. Kune vamwe unosvika vhiki mbiri usati wanyatsochena.

3 Mukaka wamunhu hauna kuita sewemomombe, Mutete kuda kutoita semvura. Wemombe une 87% yemvura chete. Wemunhu une 95% yemvura. Saka ukaona uri mutete usatya nazvo.

Mwana anopiwa mukaka panguva inoita 3-4 hours, chero achida chero asingadi. Usarega mwana achingovata asingapiwi zvokudya zvake. Usiku unomuka wofidha mwana. Kunozoti kwapera nguva wopota uchiwedzera nguva usiku asi masikati ramba uchi fidha mwana akure.

Kuchipatara vanofanira kukudzidzsa zvokuita vasati vakurega uchienda kumba. Unokwaniusazve kupiwa zvimabhuku zvokuverenga wega.

Nhova
Mwana anozvagwa pamusoro pemusoro wake panenge pane ganda chete pasina bhonzo. Izvi zvakaitigwa kuti mwana paya achizvagwa atefetere musoro kuti akwane kubuda mudumbu ramai. Kozotizve azvagwa haagoni kutaura saka anokwanisa kufa nenyota. Kuti mai vake vazive kuti ava nenyota, vanoona nhova iya ichitamba tamba. Kutamba kwenhova kuratidza kuti mwana ane nyota. Saka kasira kumwisa mwana kana waona nhova ichitamba.

Kare vanhu nokusaziva vaiti vakaona nhova ichitamba voudzana kuti mwana aroyiwa votsvaka mishonga izvo bodo mwana ari kungoda mukaka kana mvura. Hino kare vanhu vaiti mai vakabereka mwana vakakwira naye mubhazi rinopisa zvokuti, votadza kumwisa mwana, mwana wotanga kutamba nhova, Vakazviona pakuburuka bhazi, votaurira vamwe nhema kuti mubhazi mange mune munhu ane mishonga yaitisa kuti mwana atambe nhova. Vaitoona sokuti chigwere chisingarapiki.

Chinonetsa kuvanhu vedu ndechokuti nhema dzinofamba kupfuura chokwadi. Nhova hachisi chigwere. Inoitiswa ne DEHYDRATION.

Zvigwere zverusvava.
1 Chigwere chikuru chaunofanira kuhwisisa inyota yemukaka kana mwura iyo yandataura kuti inoonekwa nokutamba kwenhova.

2 Pamimba paya enda kuchipatara unoongorogwa kuti iwe une zvigwere zvaunokwanisa kupa mwana pakuzvara here. Kune zvigwere zvinoti HIV, nezvimwe zvechihure zvinoitika muchitubu. Kana unazvo unofanira kuzvara mwa nokuchekwa dumbu. Kana une chigwere haufaniri kuzvara mwana nokuzasi. Pane zvigwere zvechihure zvinoitisa mwana bofu. Ukakasira kuonekwa, unorapiwa kana zvichirapika kana kuudzwa kuti unofanira kuchekwa pakuzvara.

3 Zvokosoro zvevanhu zvinobatwa nomwana nokukasira nokuti mwana haana RESISTANCE pazvigwere zvine vaya vanozomuona. Hwisisa kuti kana une chikosoro, mirira chipere usati wanoona mwana wehama kana shamwari yako.

4 Kudziya muviri kunoitika pavana vakawanda. Mwana anozvagwa akakora kupfuura zvaachaita kana akura. Haafaniri kufukidzwa zvakawanda. Unokwanisa kukwidza BODY TEMPERATURE yomwana kusvika pasina kufanira. Mwana ngaasafukidzwa mazichira akakora. Ukaona mwana apisa muviri, kasira kumutonhodza nemvura. Unonyika tawero mumvura inodziya zvakafanira wopota uchipukuta mwana. Kana ukaona zvaramba zviripo unomupa CALPOL yevana vezera rake. wombobvisa macchira akamufukidza.

5 Mudumbu. Mukaka unohwisa mudumbu zvokutochemedza mwana uye uchaona kuti mwana anoita mhepo nokubudisa mweya nokubudisazve svina yakaita mvura kureva kuti mudumbu hamuna kugadzikana. Udza varapi vakupe mushonga wakakodzera.

6 Mapundu anoitiswa neNAPUKENI uye mamwe anoitiswa nokupiswa Nappy rush, ne Skin rush. pamwe zvinoda kuona kuti mvura yauri kugezesa mwana nayo imvura yakaita sei. Kana uri kumusha imbosiyana nesipo ushandise ruredzo. Ruredzo gunokura guchitanda senyemba asi gunobereka masoso (mafeso) anobaya. Ukagutora uka gushandisa sesipo pamwana ane tumapundu gunobatsira kuvava kwemapundu uye kupfavisa mvura. Gunopopomawo zvinongoita sipo.  Ruredzo gunowanikwa kwese muZimbabwe asi kana uri mutawendhi pamwe wotombobuda kunotsvaka. Asi hagunetsi kuwana. Usazotanha panoitigwa tsvina nevanhu. Endawo kure mumapurazi.
7 Zheve dzamwana dzinopota dzichiita tsvina zvokuti unofanira kudzigeza asi woita wakachenhera. Pane zviya zvinohi BABY BUDS. ukazvitenga wopota uchizvishandisa asi ziva kuti unokwanisa kukuvadza zheve yemwana nokuti haazivi zvauri kuita saka unotoita wakamubata musoro kuti asafakanyika uchiita. 


 Kudzokera parhoji wazvara
6 weeks uye kupurakiiza kusimbisa masuru wakamirira kutanga rhoji nomurume. Hino varume zvokumirira zvinovanetsa saka paya pamunenge mamirira kuzvara mimba yakurisa musingachiiti rhoji yenyu, chiwana mukana wekudzidza kubudisa murume urume nemaoko. Hazvinetsi, ukangozora mafuta mumaoko ako opfavirirawo wokwiza maoko kuti adziye, woti murume aita zemo wotanga nokumupurudzira chombo wopedzisira womukoira nemaoko uku uchimuudza zvinoitisa zemo rikure, unoona napo napo pfuti dzorira hadzo. wadaro chinyararidza murume avate hope dzakanaka. 

Kana ukasazviita izvi iye anozviita ega zvoreva kuti BOND yenyu inoderera. Jaira kuita iwe Manager wemaitire emurume wako panyaya dzekuvatana idzi. Mutaridze kuti unofunga nezvake pazviri. Pakumirira apa tinoudza kuti 6 Weeks asi vamwe vanokasira vamwe vanononoka. Vamwe vanoona kuzvara sechigwere chokuti anoita mwedzi yakati kuti murume ari pamaoko chete. 

Musi wekutanga chenjera. Unokwanisa kuita mimba, zvikuru kana usingamwisi mwana zamu. Unokwanisa kunge watanga kuenda kumwedzi kare. Shandisai kondomu, uye zvokugofiwa neganyabvu ndiwe unoudza murume aite uchihwa muviri wako kuti uri papi.  


Summary yeZvinhu zvinobatsira pakuzvara
1 Kugaroiswa urume zvikuru pamurumo wechibereko. Zvinonzi ne Research dzakawanda dzakaitwa, urume hwemurume hukawanzopiwa mukadzi ane mimba, kuzvara kunomuitira nyore, mwana anozvagwa ane RESISTANCE yezvigwere yakawanda upfuura vana vevakadzi vasina varume. Izvi hazvirevi kuti utsvake murume wekungovata newe une mimba asiri baba vemwana. Bodo. Vata nababa vemwana. Kana wava pedo nokuzvara zama kupiwa urume nguva nenguva.

2 Kumedza urume, kunozikamwa kwese kuEurope ne America, ne Zimbabwe, nedzimwe nyika, kuti zvinobatsira chose kana wata Labour yakareba kana kuti mwana anonoka kuzvagwa. Ukaita zvinhu zviviri zvinoti Kuiswa urume muchitubu, uye kuti murume akubudisire urume umwe umedze, zvinoshandira vakawanda. Vakadzi vanofarira kusveta zvombo zvevarume vavo uye vachimbomedza urume, havaiti mimba dzinobva dzega sezvinoita vasingasveti, uyezve havaiti CONDITION inohi  pre-eclampsia seavo vasingasveti chombo.

3 Kudya ma PINEAPPLE. Kwahi zvinobatsira kuti utange labour. Asi ukamawanzisa unoita mudumbu. Ukaita mudumbu unokwanisa kutanga labour futi nazvo .

Conclusion
Nyaya dzese idzi dzinotaridza zvechokwadi kuti maitire edu vatema okuti munhu anonozvarira mwana kumusha kwake haandiwo. Unofanira kugara nomurume wako uchiwana SUPPLY yourume yakawanda kuti zvinhu zvikunakire. Usabvuma kunozvarira kumusha kwenyu uchisiya murume wako. 

Nhema dzinoudzwa vanaNyamimba

1 Kuvhura masuwo
 Nhema huru ndeyokuudza kuti masuwo anoda kuvhurwa. Ukazviterera ukazviita, unopiwa mishonga yausingazivi chainorapa iwe usina chigwere. Unokwanisa kuisa maBACTERIA akaipa mukati mechitubu chako, kana kumwa mishonga inokuvadza mwana wako. Ukatarisa uchaona kuti MOTALITY RATE (kurarama kwevana) yevana vemuZimbabwe ishoma chose pane yekune dzimwe nyika kureva kuti hatina mushonga unoshanda.

Tanga wafunga kuti vana vanozvagwa mupasi rese vangani pazuva. Vese vanngozvagwa nomwero umwe chete. Ko kunyika kwedu ndiko kune vakadzi vakasiyana nevekune dzimwe nyika pakudii kwacho? Usaterera zvinotaugwa nomunhu asiri murapi. Dzimwe tsika dzedu dzaiva dzokuti ugadzikane hana chete uchifunga kuti wakamwa mushonga saka hapana chakaipa.

2 Mushonga wenhova:
Nhova mushonga wayo imvura. Nhova inotamba kana mwana ane nyota. (Dehydration) chete. Nhova hachisi chigwere uye hazvisi zvokuroiwa. Usarapa nhova pamwana. ipa mwana mvura kana mukaka nguva nenguva kuti asaita DEHYDRATION.

3 Kureurura pakuzvara:
Chero wakahura zveshuwa murume wako asiriye baba vemwana, hazvinei nokuzvara. Zvara chete wakanyarara. Utano hwemwana haunei nokuti akakuitisa mimba ndiani. Asi kana iye munhu wacho ange ane chigwere chechihure ndipo unofanira kurapiwa kana chichirapika. Kuti wadudza kuna ani kuti wakahura hazvirapi chigwere.




________________________________________________________________________
Pano ndoda kumboongorora nenyaya yemimba yokutanga kubva paunoz
iva kuti unayo kusvika pakuzvara mwana.

Vane zvokutaura taurai ndigozvibatanidzirapo.
 Tisati taenda mberi imbonoverengai pakahi

Kana wada Mimba

Kutanga wamitiswa

Kana usingadi mimba

Kurhojewa une mimba

Waverenga izvi kana une zvaunoziva pamusoro pemimba yokutanga ndinyorere Email uchitsanangura.

Toda nyaya dzinoti
Unoona sei kuti une mimba
Kuziva kuti wave nemimba
Kuudza mhuri kuti une mimmba
Kuchengeta mimba
Murume anoona sei mimba yako
Varume vanotya kurhoja mukadzi ane mimba
Zvigwere zvinodii pamimba
Zvokudya kana une mimba
Kuwirirana kwemazuva ekubata mimba nokuzvagwa kwemwana
Kuzvara
Mukaka wemwana
Zvigwere zverusvava
Nhema dzinoudzwa vanhukadzi pamimba