Thursday, 2 January 2014

Anniversary dzemumusha

Ngatimbotaura nenyaya dzokuyeuchidzana mazuva akakosha mumusha. Nyaya idzi todzipa kuvarume vedu kuti vahwisise kuti ndivo madzishe saka ndivo vane basa rokuziva mazuva. Hurumende ndiyo inotaura yega kuti nhasi izuva re Public holiday. Ishe ndiye anosarudza musi wechisi. Sabhuku ndiye anotaura musi wedare. Saka nyaya yedu nhasi yakarerekera kuvarume vedu asi isu tine zvokuitawo pazviri. 

Varume:
Varume vanoshushikana nenyaya yokuda kutonga pamusha. Vanoona sokuti murume akaonekwe seane moyo munyoro mukadzi anokwanisa kumudherera. Kufunga kwakadai kunobva pakushaya CONFIDENCE yokuti ndiwe mukuru pamusha. Kana uri mukuru uye uchizviziva wega, hapana chinombokunetsa. Ukangogara pamusha wako uchiita mabasa emunhu mukuru, mukadzi anongokutora somunhu mukuru pasina mubvunzo. Kuti zvikasire kuitika izvi murume ngaaratidze kuti anokoshesa mukadzi wake. Vakadzi takakmboregwa pakuti hatinetsi kufadza. Murume anongofanira kuratidza kuti fungwa yake inogara ichindifunga nguva nenguva. Akabuda mumba akaenda kwaaenda haakangamwi kuti asiya mukadzi mumba. Anofanira kuratidza kuti kupatsana kwaaita neni kwamushaisa mufaro uye mufaro uyu unodzoka kana adzoka kwandiri.

Ndini mai vemba yake, mai vevana vake, shamwari yake yepamoyo, murudzi wemufaro wake, munhu anoziva zvese zviri pamuviri wake nemashandire azvo. Saka ndini ndinayewo pamoyo. Iye anofanisa kusandikangamwa. Saka murume anofanira kuratidza sei fungwa dzakadai. 

Imwe nyaya inoshanda ndeyokuti murume azive nezvemaruva. Kugarotengera mukadzi maruva chnhu chakanaka chose. Ruva chinhu chinoitika pamuti kana imwe mbeu kana chimwewo hacho chinokura muvhu. Ruva rinotaridza kuti upenyu huri kuenderera mberi nokuti ruva rinoti rapera poita mhodzi dzinoti dzakora dzokwanisawo kudzvagwa dzoita humwe upenyu. Ruva rinotaridza kutangazve kweupenyu utsva. Panesu vaviri, ruva rinotaridza kutangazve kwerudo. Rudo rutsva rudo rukuru. Saka kana murume achiunza maruva kumukadzi wake anunza rudo rutsva.

Hino kune vamwe varume vanounza maruva kana vamborova mukadzi madeko. Maruva aya iota sokushandiswa kukumbira ruregerero. Ndizvo hazvo asi ukajaira kudai musoro wemukadzi unozofunga kuti maruva anobva pakurohwa. Kana warova mukadzi, zviri nani usamuunzira maruva pakukumbira ruregerero. Wana chimwe chinhu chakaita sehuku mhenyu kana mbudzi yaunoudza mukadzi wako kuti muripo wekukanganisa kwawaita. Maruva ndeevanhu vane rudo kwete vanorovana mumba mavo.

Saka unoziva sei musi wekuunza maruva. Maruva angangohi zuva nezuva anobva ajairigwa oshaya chiremera mumoyo momukadzi. Murume wana mukana wekukoshesa maruva musi waunouya nawo roita zuva rakakosha.  Mazuvano vanhu vakawana mukana nokukoshesa mazuva anohi ma ANIVERSSARY, kureva musi unofungwa chinhu chakaitika rimwe gore pazuva iroro romwedzi. Toti machata musi wa 25 December 2013. Gore rimwe nerimwe pazuva iri murme anouya nemaruva kumukadzi wake kuratidza kukoshesa zuva iri.

Kuti mazuva akadai awande, ndanyora pano ma ANIVERSSARY akawanda anofanira kufungwa nomurume kuti aratidze kuti anokoshesa kuva nomukadzi wake. Mazuva awa anokupazve mukana wekurangaridza mukadzi wako chimwe chinhu chaunokoshesa chinoitwa nomukadzi, zvadaro iye haazokangamwi kugarochiita nokuti anoziva kuti unochifarira. Murume anonyorawo kandima kokurondedzera kuti maruva awa abva panyaya ipi.

Aniverssary
Rondedzero
1 Yokusangana kwenyu
Musi uno mugore rokuti, ndakasangana newe panzvimbo yokuti . ndinogarofunga kuti dai ndakangoti nonokei ndikasasangana newe dai upenyu hwangu husina mufaro.
2 Yokubvumirana kudanana
Msi uno mugore rokuti, wakandipa rudo. Nanhasi ndine rudo gwako.
3 Yokutanga ita chimwe chinhu mese
Msi uno gore rokuti, wakaenda neni kundoona firimu rokuti, zvikandidadisa kuziva kuti unondida.
4 Yokukisana kwenyu
Musi uno mugore rokuti wakandikisa kokutanga. Kisi iyoyo handiikangamwi nokuti yakandifadza chose.
5 Yokuzvagwa kwemukadzi
Musi uno ndnotenda vabereki vako vakakuzvara kuti uzoita mukadzi wangu.
6 Yokuzvagwa kwemurume
Dai ndisina kuzvagwa dai ndisina kuziva mufaro waunondipa. (Reverse role apa. Murume anotengera mukadzi maruva asi iBD yake iye murume)
7 Yokutanga kuvatana kwenyu
Musi uno gore rokuti wakandiratidza rudo pachinhanho chakakwirira tikasimbisa rudo gwedu.
8 Yokusangana nevabereki vak/vako
Musi uno gore rokuti wakandi kumbirira vabereki vako kuti ndiitewo mwana wavo. Wakada vabereki vangu vaite vako.
9 Yokuroorana kwenyu
Musi uno gore rokuti wakava mukadzi wangu weupenyu hwedu hwese.
10 Yokutanga kugara mese
Musi uno gore rokuti takatanga kugara tese
11 Yokutenga imba mese
Musi uno gore rokuti  takatenga imba yedu yokurerera mhuri yedu
12 Yokuziva kuti ane mimba
Musi uno gore rokuti takaudzwa kuti tine mimba yedu
13 Yokuzvagwa kwemwana wenyu wekutanga.
Musi uno gore rokuti wakazvara mwana wedu ane makore okuti nhasi.
14 Yokutenga mombe yenyu yokutanga
Musi uno gore rokuti wakaratidza kuti uri muvaki nokutenga mombe yedu yokutanga tiri tese
15 Yokuzarura bhizimisi renyu
Musi uno gore rokuti Takazarura bhizimisi redu ukataridza kuva mai vemusha pakuva vahosi vekuungana kwemhuri
16 Kana mukadzi murume akambopinda muchipatara, rangarira zuva rokubuda kwake
Musi uno gore rokuti wakagwara zvikandidya moyo chose. Ndinotenda nokupona kwawakaita.
17 Kana ukamboinda Joni, rangarira zuva rokudzoka kwako
Musi uno gore rokuti handikangamwi fungwa dzangu muzhira yese kubva Joni ndichiziva kuti wakandimirira.
 
Morangarirazve naya dzorufu dzinova dzinorangaridza vanhu kuti upenyu hune mugumo uye mugumo wacho hatimuzivi saka kana tiri vapenyu kudai ngatiitirane rudo uye tinakigwe noupenyu nokuti chipo chatakapiwa chine nguva inoverengwa namakore mashoma.  Kana pana hama yenyu yakashaika sokuti mwana wenyu kana kuti mubereki wemurume/mukadzi munowana kanguva kokutaura nezvazvo nokutenda nguva yamakaita nehama iyi. Mowanawo nguva yokutenda nenguva yamunayo imi pauviri hwenyu nokupanana rukudzo kuti mese makasarudzana mukadanana uye muchiri mese kureva kuti mune rudo.

Kana makafgwa nomwana uchaona kuti mukadzi wako panguva iyoyo anosuruvara kana achifunga mwana wake. Ndiyo nguva yokuti muve pamwe chete. Ratidza kuti iwe hauna kukangamwa mwana wenyu.

Vakadzi
Mukadzi kana awanawo murume akadai, anogaromurangaridza mazuva akamukoshera paupenyu hwenyu, chiratidzawo kuti unokoshesa fungwa dzomurume wako anokuda seizvi. Murume musi waanounza maruva okuudza zvaaunzira maruva kuti zuva iri izuva rakaita sei, chirikoshesawo iwe. Kana musina vana hapana chokumirira. Tanga kutenda nokudiwa kwaunoita.

1 Bikira murume zvbokudya zvinotaridza kuti izuva rakakosha.
2 Ita nyaya dzinorerekera kukukosha kwezuva iri. Kana usina nyaya nazvo bvunza murume mibvunzo akuudze ugotaura kukosha kwazvo kwauri iwe
3 Isa maruva aya paanoonekwa nevanovhakasha wosiya chikadhi chine rondedzero iya chiripo kuti vaone ugotaura masho okudada nazvo. Kana zvichinyadzisa bvisa chikadhi usiye maruva aripo. Kana shamwari dzako dzikauya usasvoda kudziudza chikonzero.
4 Pakunovata musi uyu, taridzawo kuti izuva rakakosha rinofanira kuitwa zvakakosha. Varume vanowanzo farira APPRICIATION iri DIRECT. Rondedzera kuti uzere norudo uye kudada nemanyawi aakupa kukuratidza kuti anokuti. Chimubvunza chinhu chiri SPECIAL chaanoda nhasi womuudza kuti chero chaada unomupa. Kana asarudza mupe nomoyo wese. Kana wange wakaneta wabva kuSHIFT, udza murume mukasire kundovata uite zviitwa ugowana nguva yokuvata yakakwana. Kuchidzira moto pakusangana kwenyu.

5 Kana iri BIRTHDAY yomurume wako, mira mirawo nezvokudya nokudaidza shamwari dzake muungane ugoitawo chimwe chakakosha chaunotaura pagungano. Hazvirevi kuti unoita PARTY asi kungodanawo imwe hama kana shamwari kuti muve pamwe chete modya mese, wotaura zvinokoshesa zuva.

6 Usakangamwa kutenda murume pakukukoshesa nokukufnga nokukupa rudo nokukuitira zvakanaka zvinokufadza. Appreciation breeds appreciation.

Mese hwisisai kuti mumhuri yakadai kupopotedzana kunoita kushoma nokuti mese munoziva zvinofungwa noumwe. Harisi zuva rinohi rakakosha asi kuti munhu waunaye ndiye anokoshesa zuva iri nezviito zvake pauviri hwenyu.

Vakadzi tinopa varume vedu umambo hwemusha zvisingarevi kuti murume mudzvanyiriri asi kuti munhu akakosha pamabasa ake apamusha zvokuti ndiye mukuru. Hazvifaniri kuti ave nenguva yaanoita sokusabvimugwa kuva mukuru. Hazvibvi pakutaura kana pakupopota kana pakupiwa zvipo asi kuti zvinobva parukudzo kubva kwamuri mese. Kana mukdzi achitukana nomurume hazvirevi kuti ari kuti murume haasi mukuru. Ari kuti wandigumbura saka gadzirisa pawakanganisa. Kuva mukadzi wemunhu iVOLUNTARY PROCESS. Kupa murume umambo iVOLUNTARY PROCESS yokuti musha imiri ine mutongi anohwisisa kuti mukadzi diye akazvininipisa kuva pasi pemurume kwete kuti i RIGHT yemurume. Sakai we murume wapiwa umambo uhu chitaridza ushe amhuri yako. Koshesa mukadzi pane zvaakakuitira nezvaari.

Mari
Pese pese panodiwa mufaro nyaya yemari hainonoki kuvapo. Kune varume vanoti nyaya dzema ANIVERSSARY  idzi dzinopedza mari profit yacho isinganyatsi kuonekwa. Profit yorudo mumbo ihuru chose. Kamari kaunoshandisa kutenga maruva kashoma chose chose pane zvaunowana. Hwisisa kuti mumba kazhinji zvinhu zvinotengwa ndezvenyu mese. Mukadzi haanawo chinhu chaanoti ichi ndechake ega. Maruva ndeake ega asi anofa kwapera vhiki posara pasinazve chinhu chaanoti ndechake.

Murume imbosvikawo kumba kwako ufambe fambe mumba uchitarisa zvinhu zvinohi ndezvemukadzi wako zvisinei nemhuri zvisiri membhe dzokupfeka. Uchaona kuti zvishomanana. Ndosaka tichiti imbopawo mukadzi wako manyawi umwe musi.


Udzai Vamwe!!!

Sunday, 29 December 2013

Kubva zera usina mukadzi/murume

Nyaya iyi inokonzegwa nokumirira kunyengwa saka toda kumboitaura nokuti vamwe vanofunga kuti ndezvemishonga yemunyama kana kuroiwa asi bodo. Iwe muridzi ndiwe unozviitisa nyaya iyi. Regai tigomboitaura kune vaitanga.

Kana wava munhu mukuru usina kuroogwa kana kuroora kare vaiti ukafa vanotsvaga gonzo voriuraya vokusungirira muhuro sechuma vokuisa muKofini yako vokuviga. Zvaiitigwa kuti mweya wako ufunge kuti wasiya mwana panyika. gonzo ndiye mwana wako, saka kana wafa hauzonetsi vanhu uchiti ndakafirei ndisina mwana. Zvaiitigwa vaya vanofunga nezvemidzimu. Pano tiri kuzvitaura kuratidza kukosha kwenyaya yokunonoka kuwanikwa kana kuwana. Vanhu vaizoti ava mhandara ohi chiwanikwa kuti uite vana ugorega kusungirigwa gonzo kana wafa.

Kuhi wabva zera unenge wakurisa usina musikana/mukomana wekudnana naye uye uku uchiziva kuti hausi ngochani, uye hauna zvimwe zvaunoziva kuti ungahi wakaremera. Unoda chose kuva newekudanana naye asi zviri kukukona. Toti wava namakore 30 kana uri murume kana kuti 25 kana uri mukadzi, usina kumboitawo rudo noumwe munhu. Pakadai panenge patsveyama. Vanhu vari panyaya dzakadai vakatowanda. Vamwe vavo vanongochembera vasina kumbodanana noumwe munhu. Izvi zvinowanikwa kunyika dzese saka tichiti hazvisi zvemishonga kana munyama. Kunotori navanhu vasina unyanzvi hwekunyenga kana kunyengwa kana kuziva chokuita kuti umwe munhu amude.

Kozotizve vamwevo havo vane fungwa dzechingochani asi vachitya kudziratidza. Murume akadai anenge achingohwa kukwezvwa nevamwe varume saka kuti anyenge varume vaya otya nokuti anovaona vachimbodanana nevasikana obva aziva kuti vakasiyana naye. Otyazve kubuda pachena kuti haana hanya nevasikana. Mukadziwo akadai anohwa achikwezvwa nevamwe vanhukadzi zvokuti haana hanya nevarume.

Pano hatinei nevechingochani ava. Tinoda kutaura neavo varume vanoda vakadzi asi vachitadza kuvawana, kana kuti vakadzi vanoda varume asi vachitadza kuvawana. Unohwa munhu akachenjera chose oti ukamubvunza kuti ko nyaya yekuroogwa iri papi, iye oti haana mukomana nokuti ane munyama. Kwahi noumwe "Ndichatomboenda kumusha ndinotsvaka vaporofita vanobvisa munyama." Ndikati bodo, kana uchingodawo hako kuenda kumusha enda asi usafunga kuti paunodzoka dambudziko rako rinenge raderera. Hakuna muporofita anokubvisa munyama. Ukatotanga nezvemaporofita awa emazuvano, ungatopedzisira warhojewa naye muporofita wacho dambudziko rako rotowedzera. Pane kuti dai wagara pasi wazama kuhwisisa dambudziko rako kuti riri kukonzegwa nei wawana mukana wekugadzirisa maitire ako muupenyu.

Dambudziko iri rinobva pakuti mumaitire erudzi gwedu zvinoonekwa sokuti kunyenga kana kunyengwa inyaya yomunhu umwe chete, zvikuru murume anoonekwa sokuti anofanira kunyenga musikana. Uku kukanganisa kufunga. Kuti vanhu vaviri vadanane zvinoreva kuti mese menge muchitsvaka wekudanana naye. Saka mese munofanira kunge muchiita chimwe chinhu kubatsira kuwana munhu wekudanana naye. Hino iwe ukangomirira kuti pachasvika umwe munhu achazokunyenga kana uri musikana, zvinoreva kuti chero munhu wacho akauya akakunyenga iwe hapana kusarudza kwawaita nokuti wakangofanana nemombe iri pamariketi inongotengwa nomunhu chero auya nemari.  Munhu akachenjera anosarudza wekudanana naye  kwete kumirira kusarudzwa.

Murumewo ukangomirira kuti pachapfuura nomusikana akanaka uchaona kuti vese vakanaka vanotori  nevakomana vavo kare.  Kumirira kwako kunoreva kuti hausi kusarudza munhu akakodzera asi uri kumirira kuti pamwe musikana asina umwe anomuda achasangana newe.

Apa ndiri kuti imhosva yako kuti hausi kushanda basa rokutsvaka zvine samba. Munhu ngaazvizivire ega kuti nguva yokuti ange ane musikana/mukomana  yakwana. Zvadaro funga mazano okuita kuti nyaya yako ienderere mberi. Kana munhu achikoshesa chimwe chinhu anowana zvokuita nacho.

Chokutanga hwisisa kuti nyaya yokuti uve nomunhu wekudanana naye inyaya yemhuri yese uye yeshamwari dzese. Kana wada kunyengana noumwe munhu, udza mhuri  kana usina mukana iwewe.  Mhuri yako ine vanhu vakura vanoziva maitire ekuti uwane munhu akakodzera. Vanozivazve kuti mwana wanhingi nowanhingi Havana wavari kudanana naye. Shamwari dzako dzakaroora/roogwa dzine varamu vasina vavari kudanana navo. Svitsa shoko kwavari vagare vachiziva kuti uri kutsvaka. Gara uchivayeuchidza kuti nyaya yako iri kuda kugadziriswa.

Kana waratidzwa munhu anofungigwa kuti akakodzera wongorora wega uone kuti ndizvo here. Kana akakodzera chirega kutambisa nguva uchiita sokuti uri mwana mudiki. Fambisa nyaya iende mberi mutange kuvaka rudo gwenyu. Kana asina kukodzera kasira kutaurira uya akupa Introduction kuti hauna mufaro newawaratidzwa.

Kana uri mhunhu anosvoda kutaura navamwe pachena, mazuvano hazvinetsi. Unongoti paya wapiwa nhambha yefoni, wochitanga kutumira mwadhi dzokushamwaridzana. Unotangawo nokungotsvaka ushamwari wozoti paya mava kuzivana wokumbira rudo.  Vanhu vakawandisa mazuvano vanonyengana pafoni vozovaka rudo nyaya yapera.

 Chinonetsa vamwe ndechokuti  vamwe vedu vanoda kungoti akanyengwa otoda kuvhura makumbo musi iwoyo kuri kutya kuti akasavhura mukomana anomusiya ondotsvaka vanovhura. Kusahwisisa kuti mukomana akadai haasati ava pokuti anoda kuroora saka chero ukamuvhurira ziva kuti ari kutovhurigwazve nevamwe. Kana oda kuroora achanotsvaka kune vasingadi zvokuvhura makumbo.

Pakunyengana zama kuratidza paumire chaipo.  Kwete kuratidza munhu nhema. Kana uchimuda taura kuti unomuda. Kana usingamudi taura aende kunotsvaka vamwe vanerudo. Munhu haanetsi kuongorora saka ongorora wega uwane paari. Vanhu vazhinji vanoreva nhema kuri kutsvaka kuvata nomunhu. Ingari yokuti zvinodiwa nevakawanda kuti vavatwe navo zvinozikamwa. Saka chero zvikapracha zvemuraini zvongorevawo nhema kuti zvivate nevanhu vakachenjera. Muraini hapana asingazivi kuti nhingi ari kuvata nanhingi. Ukabvunzisisa unotoudzwa kuti vari kushandisa kondhomu rinohi ani.  

Mazuvano kune zvakawanda zvaunokwanisa kuita kuti unyengwe kana kunyenga. Takadai tiri paInternet pano unokwanisa kuenda pakasiyana siyana uchindosiya chikokeri chokunyengwa kana kunyenga. Unokwanisa kunyora chikokeri chako zvinoratidza kuti uri munhu akaita sei uye unoda munhu akaitawo sei. Unokwanisa kunyora muNyuzipepa kana muMagazini. Kwese kwese ariko anobvumira izvi. 

Saka apa tiri kuti kana waziva kuti unoda rubatsiro tanga nokuzviongorora kuti uzive kuti chii chambokuitisa kuti uve pachinhanho chakadai.

Pamwe wange usina nguva yokudanana nokuda kwekudzidza,
Pamwe wanga uchitsvaka basa
Pamwe wange uchichema munhu wawaida akaroorana noumwe munhu
Pamwe haugoni kunyenga/kunyengwa unotya varume/vakadzi
Pamwe vanhu vanofunga kuti hauna unhu mudunhu renyu
Pamwe unongogara pamba pasina anosvikapo saka hauzikamwi
Pamwe unosvoda kutaura navamwe
Pamwe vanhu vanoti hauna kunaka pachiso saka hauna CONFIDENCE.
Pamwe unohi uri muroyi kana kuti une hama muroyi
Pamwe mhuri yenyu ine mari zvokuti unotya kudanana nevarombo

Iwe wega ziva chikonzero chaicho. Kana wachiziva chiona kuti chabviswa paupenyu hwako. Zvadaro chiwana chaunoita chinokubatsira panyaya yako kubva pane izvi.

1 Udza hama dzako dzikubatsire kutsvaka
2 Udza shamwari dzako dzikubatsire kutsvaka.
3 potawo uchibuda mumba uchienda kune vanhu vakawanda. umwe wacho achakukwezva. Kune vanhu vakawanda kuma Club, MaChechi, mabhawa, maSipotsi, kuSeaside, kuMariketi,
4 Tarisa kune vaunoshanda navo uhwisise kuti vaunoona vakakodzera uye vasinawo rudo ndevapi ugowana mukana wekumuudza kuti une chido chekudanana naye.
5 Nyora chikokeri chako munyzipepa kana magazini womirira vanokupindura, wosarudza waunoda pakati pavo. Ukadai uchawana mamwe mapenzi anofunga kuti kunyora kwawaita kunoreva kuti watambura chose saka uri kungoda munhu wekurhojana naye. Ongorora zvakanaka usarudze wakasvinura.
6 Chizvipa nguva ine musoro yokugadzirisa nyaya yako kuti isvike pakaenzana nenyaya dzeavo vane zera rako. Sokuti wadanana nemunhu, ronga upenyu naye wozvipa makore maviri kana matatu kuti menge mava papi.

Tiri kuti kumirira hachisi chiito chine musoro. Kana ukamirira ukashaya auya hwisisa wega kuti imhosva yako iwe kwete umwe munhu kana munyama. Vese vaunoona vari murudo pane chavakaita kuti vawane rudo.  Kune vakawanda vanokuudza mazano makuru okuti ukumbire Mwari kukubatsira. Awa mazano makuru chose  asi anoenderana nezvese zvishanu izvo zvanyogwa. Usati waudza hama kana shamwari kana kubuda uchinotsvaka, kana kutarisa vaunoshanda navo kana kunyora chikokeri, udza Mwari kuti unoda vakuratidze munhu akakodzera kudanana naye. Kukumbira Mwari hazvinei kuti uri mutendi here kana kwete. Minamato yese zvayo inohwikwa ichidavigwa saka kumbirawo uwane kudavigwa. Panyaya dzakadai kazhinji unokumbira kuti vakutaridze nechimwe chinhu chiri pachena. Sokuti chimwe chinhu chisingaitwi nevamwe. Wana chiratidzo chaunoda kuratidzwa nacho ugokumbira kuti chishandiswe ichocho ubve waziva kuti ndiye wako chaiye uyu.

Pakutanga kusangana nomunhu wausingazivi, sanganai pane vanhu kusvika mazivana pauviri hwenyu. Musi wekutanga kusangana mega, udza umwe munhu kwauri kuenda uye pota uchitimira TEXT kune umwe munhu kuti zviri kufamba sei. Mazuvano kune Ndhururani dzakawanda dzechikadzi nedzechirume saka famba wakachenjera.Unokwanisazve kuperekedzwa nomunhu anofamba ari kure kuti asaonekwa kuti muri mese. Zvadaro ngaakutorei mapikicha muri mese nouya wawaenda kunoona. Somuno mu Europe vanhukadzi vanokuridzigwa kutora pikicha woitumira kune umwe munhu kuitira vanhu vakaipa. Chero akazokutorera foni yako unenge watotumira pikicha yake kare.  MuAfrica varimo vanhu vakaipa saka chenjerawo. Zvikuru kana wange wambomuudza kuti une mari kana kuti une bhizimisi. Chenjerera kusvika mazivana zvakanaka uchizivavo hama dzake iyewo dzako.

Kana wasangana nomunhu waunoona kuti haana kukodzera muudze kuti zvido zvake handizvo zvako saka bheta musiyane henyu pane kupedzerana nguva. Pamunosangana musi wekutanga munokwaisawo kubvunzana kuti munodei panyaya yenyu. Ukahwa murume oti ari kuda munhu wekurhoja ziva kuti zvorudo haanei nazvo. Ukahwawo mukadzi achiti abaika nokushushwa kuti awanikwe, ziva kuti iye haanei nazvo, ari kungoda kufadza hama. Siyana naye.

Kubvuma kuvata nomunhu wawadanana naye inyaya huru inofanirawo kuti uifunge zvakanaka. Asi ukadanana nomunhu panosvika nguva yokuti munovata mese. Gara wakagadzirira musi uyu. Pamwe mota inokufirai muri kure nokumusha mopinda muhotera movata. Zemo harizivi kuti hamuna kuroorana.

Hwisisazve kuti zvokubviswa humhandara zvinoda PLANNING kwete kungoitika zvega uchiti nokuti ndazongoona ndavata nomurume nokuti mota yange yafira musango tisina kwekuenda. Kana zvadaro udza murume/mukadzi kuti tovata hedu muhotera umu asi hativati tese uye hapana chinoitika. Zviitiko tozoita tambotaurirana kuti zvoitwa nguvai uye musi upi. Mese taridzai RESPECT. Iyo ngari yokuti manga musina kuzvironga, zvinoreva kuti kana kondhomu chairo hamuna pakati penyu. zvinoreva kuti mimba inokwanisa kuitika nyaya yenyu yotora imwe zhira. Rega kufungigwa zhira youpenyu nechombo/chitubu. Taridza rudo asi usataridza DESPERATION parudo. Chikuru garoudza umwe wako kuti unomuda nomoyo wese. Paunoramba kuvata naye muudze kuti ingari yokuti unomuda, muchaita guva yokuvata mese upenyu hwenyu hwese asi pari zvino uri kuda kuvaka rudo chete. Uchaona kuti haanonoki kubvumirana newe. Kana asingadi zvoreva kuti haana RESPECT uye pamwe ari kungokutambisa.

Kana wabva zera seizvi ukazowana mukomana/musikana anodanana newe ndiyo nguva yokuti ukakanganisa nyaya dzako unorambana naye uyu, wozoitazve makore uchitsvaka umwe. Zvikuru kana iye uyu asiri muzera rako.

Budiranai pachena zvikuru pazvinhu zviviri zvinoti HISTORY, ne ASPIRATION. Wakabvepi nenyaya dzerudo uye unoda kusvika papi nouyu wauri kuti adanane newe? Ukahwa munhu achiti ari kungoda kushamwaridzana chete, chishamwaridzana naye asi gara fungwa yako ichiti anongoda shamwari chete. Mubvunze kuti paushamwari hwenyu anobvuma here kuti unge uchitsvaka vamwe. Ukahwa oti bodo, chimuudza kuti LEVEL yamuri haisi yehushamwari chete ndeyekuvimbisana saka inoda kutaudzanwa futi muhwisisane. Mabvuma kuva mukomana nomusiana tauriranai kwamuri kuda kuenda mese, mugokasira kuzivisa hama neshamwari kuitira kuti mukapokana kana kumitisana, muwane SUPPORT. Vasikana vanofunga kuti kungobvunza kuti "Ndikaita mimba unoita sei?" zvakakwana pakuti tataurirana asi handizvo.

Kubvunza mubvunzo wemimba kureva kuti uri kufunga kuti mukamana achakurhoja musina kubvumirana zvakanaka. Uku kusahwisisa. Ronga mibvunzo yako yakawanda iyewo aronge yake mugowana nguva yokubvunzana nokudavirana.

Varume zvikuru kana akakumitisa anovhunduka woda kukuramba. Izvi zvinoitiswa nokusagara mataurirana uye kuronga nyaya sevanhu vakuru. Tese tinoziva kuti ukadanana nomunhu unohwa kuda kuvata naye asi hatidi kutaura naye nazvo hameno kuti sei. Musikana anokwanisa kuudza mukomana wake kuti ndarota tichiisana, asi haadi kuudza mukomana kuti ngatironge yokuti toisana riini. Hazvina musoro. Vese vanoziva kuti pakufamba kwenguva vachatovata havo vese, asi kuti vazvitaure uye kuronga nyaya zvakarurama vanoona zvakavagozhera. Murumewo anogarofunga kukumbira kuisa asi haadi kuti musikana abvume kuiswa. Kana abvuma ohi ihure orambwa. Kushaya njere kwerudzi gwedu uku. Kana muchihwa kuda, zvoreva kuti chiudzai vabereki varonge yokuroorana imi chizivai mese kuti mava kuzoroorana. Zvinoita nyore kutanga kuvatana nokuti menge musingatyi kukanganisana upenyu hwenyu.

Kubva zera uku zvinoreva kuti nguva yenyu yokuita vana yava shoma saka kana matoona kuti munodanana chikasirai kuronga nyaya dzenyu mugokasirawo kuronga mhuri. Kana wasangana nomunhu anokubudira pachena panyaya dzese zvinoita nyore kuronga upenyu hwenyu.

Pese pazviito zvako munhu taridzawo unhu vanhu vakupe rukudzo.

Ngochani:
Ngochani dziya dzatamboreva vanhu vanofarira vanhu vakafanana navo pamberi. Sokutu murume anoda vamwe varume kana kuti mukadzi anoda vamwe vakadzi. Ichi chigwere chisingarapiki. Munu anosvika pakubva zera asina wamunooka kuti anodanana naye iri ngari yokuti iye anoziva kuti anoda vamwe verudzi gwake. Kana ari kunyika dzakaita se South Africa, Europe, America, Australia, Canada kune vanhu vasinei nokuti unodanana omurume here kana mukadzi, zvinoitira ngochani nyore kuwana umwe murume/mukadzi wekudanana naye.

Isu tisiri ngochani tosiyana navo nemaitire avo tosomana nevatinoda. Asi nyaya inozokanganisika nevanhu vanoti uku akaroora uye ane vana asi uku ari kuhura noumwe murume achitombopinzwa chombo kumashure achizadzwa urume semukadzi wemunhu iyeye. Kana kuti iye ndiye anopinza chombo chake mune umwe murume oua kumba opinzazve mumukadzi wake. Pamwezve panoita mukadzi akawanikwa asi achihura noumwe mukadzi vachipota vachikwizana pamberi.

Inyaya inoiti ikakuitikira inokwanisa kukukanganisa musoro, zvikuru kana murume wako ari ngochani, zvinova zvakaipa chose kupfuura hungochani hwechikadzi. Vakadzi ngochani havabati zvigwere zvechihure sevarume nokuti hapana chinopinzanwa chichizobuda chava nechigwere. Asi ngatihwisise kuti varume vanohura nevamwe varume chero medu muZimbabwe vakatowanda. Makadziwo vanohura nevamwe vakadzi vakawanda asi hapana HEALTH ISSUE yakakura seyevarume.

Kana uriwe uri kuhura noumwe murume shandisai kondhomu nguva dzese.

Udzai Vamwe!!!!!
Kubva zera      Imbotererai Vhidhiyo iyi

Kutorana mukadzi nemukadzi
Kunyengana
Kuhura zvechingochani

munyama wekusaroorwa
Ngochani

Wednesday, 25 December 2013

Nguva yokupokana mumba

Pane vanoongorora nyaya dzokurambana kwevakaroorana munyika dzakasiyana siyana vanoona zviitiko zvakawanda mudzimba. Zvimwe zvezvavakaona toda kumbozvitaura pano.

Nguva dzokurambana kwevanhu:
Mu UK nguva inorambanisa vanhu zvakanyanya inguva yeKisimisi. Pakuongorora vakaonekwa kuti vanokumbira hurumende kuti ivapatsanuse vanowedera zvakanyanyisa mumwedzi waApril, May, June, asi kupokana kwavo kunenge kwatanga mumwedzi wa February. Zvotariswa zvakaonekwa kuti pamakore akati wandei vanorambana ava vinotangira panyaya yemari uye chihure. PaKisimisi zvinhu zviviri izvi zvinowedzera kukosha kwazvo.

Mari
Vanhu vakawandisa vanoda kutengera vana vavo zvinhu paKisimisi, asi mari yacho haikwani. Hino vanobva vashandisa ma CREDIT CARD kuwereta mari yokuwedzera pane yavanayo vobva vatenga vakawanda. Ukuwo puresha yese iyi inotapudza kufunga kwevanhu panyaya dzokuti achazobhadhara zvikwereti izvi ndiani. Kunozoti mwedzi wa February wotanga, magwaro ezvikwereti osvika pamba zvoonekwa kuti mari youbhadhara hapana uye ichanetsa kuwana. Ukuwo mwedzi wa December vanhu vanobhadhagwa Kisimsi isati yasvika zvinoitisa kuti mwedzi January uite murefu zvakawedzera. Mhuri dzokumushawo dzinotarisira kuti paKisimisi mari inotumigwa inge yakawedzera. Havahwisisi kunetsa kwemari panguva iyi.
Kozotizve vanhu vanoshandisa magetsi nemvura zvakanyanya kureva kuti mukota yokutanga muna April, mabhuri acho anouya akakura zvinowedzera dambudziko ratovapo kare.

Pakutadza kuripa zviwereti uku vanhu vasina kutsigirana pakuzviita vanopopotedzana vopokana votsvaka kupanana mhosva, uku vachitya kudzinga mudzimba kana kutoregwa dzimba. Muchiri pakadai unoona kuti varume vanomwa doro vanowedzera kumwa kuti vakangamwe nhamo iyi. Vakadzi vanoshanda vanowedzera maShift kuti mari iwedzere asi zvadaro havaonani nevarume vavo zvoreva kuti vava kutomutsa rimwe dambudziko rokuhi mai vako vari kuda mari yatisina.  Gore richinotanga, kuZimbabwe vanoda mari yevana vechikoro, zvikuru vane vana vavakasiigwa nehama dzakashaika. Vamwe vevana ava vari kuma BOARDING SCHOOL. Kuti urega vachidzingwa chikoro hazviiti.

Chihure
Kana mumba mune bopoto kugaramo kunonetsa saka uchaona kuti murume nomukadzi vanochinjana kuva mumba. Murume akafunga kuti mukadzi ari kumba anononoka kuendako, Mukadziwo ndizvozvo. Kana mune vana zvotoita sokuti havasi venyu. Vana vanosiiwa mumba ne TV baba namai vari kunhamo dzavo.
Pakadaro unosangana nevamwe vanodawo kuterera nyaya dzenhamo dzako. Mukuterera uku vanokuhwira tsitsi vokuvaraidza. Varume vakawanda vakafunga kuti pane mukadzi anoda kuvaraidzwa, vanomuvaraidza nechombo. Vakadzi vakawanda vakawana murume anoda kuvaraidzwa vanomuvaraidza nechitubu. Kana une nhamo kumba ukawana munhu anoterera zvaunotaura, achiita sokuti anohwisisa nyaya yako paanokuvaraidza nokukumbundikira, nokukupurudzira musana kuti uzive kuti pane umwe munhu anokuterera kupfuura murume wako. Anotanga achipurudzira musana napo napo opurudzira magaro. Ukaramba uchimuudza zviri mumoyo mako uye kuti murume wako akashata pakadii, anokupurudzira mabvi mugere mumota, ozokupurudzira zvidya achiterer nhamo yako.

Anokutumira zvitaugwa pafoni iwe uchidavira uchimukurudzira. Muchasangana agokukwidza mota yake kuti umuudze zvakawanda zvokumba kwako. Achakuterera agokupa mazano okuita kumba kwenyu adaro anokubata ruoko agokutarisa mumaziso agokupa konifidence kuti uhwisise kuti ari kukutsigira. Uchabvuma zvaari kumuudza. Uchachema chema agokubatsira agokunyaradza agokukisa mumota agorhojana newe pasina kondomu mumota yake. Hazvina basa kuti uri murume here kana mukadzi. Nhamo yekumba inokwanisa kukukonzera kuhura.  Mimba nezvigwere hazvizivi kuti mukadzi/murume wauri kurhojana naye haasi wako. Kana nguva yakakodzera mimba anoita mimba. Kana ane chigwere anokupa chigwere.
Hwisisa kuti chombo chinovaraidza moyo unogwadza. Chitubu chinovaraidza moyo unogwadza.

Kuti uchizoyeuka kuti wako wekumba anachovo chauriu kupemha kumunhu wekuzhe ichi, zvinokunetsa nokuti chasiyana izheve dzokuterera nadzo. Dai wekumba aitawo zheve akaterera nhamo yako dai iwe usina kuzoda uyu wawava kuudza nhamo dziya. Kuzorhojana nouyu umwe  zvabva pakuhwisisana pakutaura chete.

Kana waita nhamo mumba chinhu chakanaka kugadzirisa nhamo yako nomukadzi/murume wako nguva ichipo.  hwisisanai pakutaura mumba menyu pauviri hwenyu. Zvese zvaunoda kuudza wekuzhe uyu udza murume/mukadi wako. Mapadza varaidzanai nekurhojana mugovata hope dzakanaka. Mangwana nderimwewo zuva rine zvarakakurongerai. Pamwe nhamo yenyu inoita shoma. 

Gadzirisa nyaya dzako paunotangira kudziona kuti dzaita nyaya. Kana uchida mukadzi/murume wako, kana uchida muchato wako, kana uchida mhuri yako, ronga nezvemari yomumba naye.

Makore ekuroorana
Muno mu UK average yemuchato makore mapfumbamwekusvika pamakore gumi nerimwe. Zvinonzi matambudziko anorambanisa vanhu anotangira pamakore mashanu uye vanhu vane matambudziko awa panguva imwe neimwe vanosvika 40% yevanhu vakaroorana. Zvinohizve kana ukakwanisa kupfuura makore 14 wakaroorana noumwe, munenge mayambuka panogozha.

Izvozvi tiri kutaura nyaya ino, pane vakawanda vanhu verudzi gwedu vari panyaya dzakavagozhera mudzimba dzavo. Vamwe vavo vachitadza kudzigadzirisa vagopedzisira varambana. Asi Ukatarisa nyaya dzavo padzakatangira uchaona kuti dai vakadzigadzirisa kare dzaigadzirika uye dzange dziri dikidiki.
Saka pano tiri kuti mari inonetsa chose mumwedzi inoti December, January, February, asi kana mukaronga nyaya yenyu mese pamwe chete, mukawirirana, hapana anozokwanisa kupopotera umwe kuti atadza ichi kana icho.  Munotokwanisa kuunganidza ruzivo pakubhadhara zvikwereti zvenyu. Kana tsamba ukabva kuBANK ichikuudzai kuti  matadza kubhadhara uye masara nemazuva manomwe, munoronga mese zvokuita nayo. Mukawana mukana wekukwereta kubva kushamwari kana hama, mese menge muchiziva zviri kuitika.

Munhu wawakaroorana naye
Dambudziko ratinaro muvanhu vekumusha vari mune dzimwe nyika nderokuti vamwe vavo vakarorana nevanhu vemamwe marudzi vane maitire akasiyana needu. Tito wakaroorana nomunhu wekuKenya kana Nigeria kana England, kuhwisisa kwake panyaya dzezvikwereti kwakangofanana nekwedu. Kupopota kwake kwakafanana, Kutyiswa nenyaya dzinodzingisa pamba kwakafanana. Chingasiyana kuhwisisa zviri kuitika kumusha uye kuti mari yokuzama kuzvigadzirisa inobvepi. Kana iye ane nhamo dzakewo kumusha kwake anenge achidhonzerawo kwake zvinokwanisa kuwedzera kupopotedzana.


Chikuru kugarohwisisa mamirire akaita musha wako kuti kana uchitaura noumwe wako utaure uchiziva kuti zvinowedzera nhamo ndezvipi. 

Kuvaraidzwa nechombo/chitubu chinhu chakanaka chose asi ngazviitwe pauviri hwenyu mumba menyu, kwete kunotsvaka umwe munhu wekuzhe. Kana ukaona murume/mukadzi wako asingakutereri, kana kukuhwisisa, tsvaka hama, mufundhisi, munhu achembera, kuti akuyananisei, kwete kunoudza umwe munhu anokwanisa kukuhurisa. Kana pasina wekuudza akakodzera, Nyorera umwe wako tsamba averenge ari ega. 

Kna umwe wako akuudza zviri pamoyo pake kana kuti akupopotera nenyaya yamuri mese, zama kuzvibvunza kuti zvaita sei, ugozvipindura wega kusvika hwahwisisa kuti zvaita sei. Kana watadza kuhwisisa, kumbira nguva yokutaurirana. Pakutaurirana tanga nkuudza umwe wako kuti unomuda asi unoda kuti nyaya igadziriswe. Muudzezve kuti unoda kutaurirana kwete kupopoterana. 

Musadherera nyaya dzemari kudziita dzisina maturo mumba. inyaya dzinotokwanisa kukuparadzanisai zvikusvika pakuvengana chose imi mange muchimbodanana. Kana mari ikaita shoma mukasashandira pamwe chete, munokasira kupokana mopedzisira pasisina ane hanya noumwe. 

Ngatidye kisimisi ne nyuwere tine mufaro. 

Udzai vamwe!!!! 

Saturday, 14 December 2013

Kugara Usingazivi Status Youmwe Wako

Vanhu vakaroorana zvinohi vanoziva zvese pakati pavo. Zvinoitika here chaizvo kana kuti tinenge tichngotaura zvinofanira kunge zvichiitika? Nyaya dzezvoutano mumba inyaya dzinopokanisa vanhu kana vange varoorana pasina kunyorerana mitemo yomumba menyu. Mazuvano vakawanda vanoti kana vakadanana votanga kuvata vese vonakirana zvokuti wozohwa votaura kuti voda kuroorana uku hapana chabvumiranwa asi kungoti vanonakirana pakuvatana. Kuzoti varoorana, murume osiya zviya zvokunakigwa oda kufosa mukadzi kuti ange kamwana kadiki kasina zvakanoziva. Mukadzi akakomburena kohi mukadzi haatereri. Nyaya dzotanga.

Ukada kuti hendei kuTest, wotoudzwa kuti wandipumha chihure. Mukadzi akaita mimba anotestwa zvigwere zvechihure. Zvadaro akawanikwa ane chimwe, anokwanisa kurapwa murume wake asingazivi. Kana ane HIV, pamwe haatomboudzwa iye mridzi. Kne nyika dzisingakuudzi. Kana vakakuudza unoita sei nazvo. Ukada kundoudza murume anokuudza kuti ndiwe wakahura ukabata chigwere. Ukada kunyarara unokurhoja zuva nezuva uku uchirapwa uku uchipiwa futi chigwere chiya nokuti iye anenge asina anorapa.

Nyaya kwadzo ndedzokuti mugare maudzana maitire amuchaita mumba menyu. Mukangodanana paya mototanga nyaya yese nokubvumirana kuinda kuTEST mese movhenekwa moudzwa zvamuri. Kana umwe ane chigwere motaurirana zvokuita zvichibva nokudanana kwenyu. Kana mukakwanisa kubvumirana pakadai hazvizonyanyi kunetsa kubvumirana maroorana. Munohwa makasununguka pakutaura nyaya dzezvigwere zvechihure.

Pakuroorana mukakwanisawo kundoroodzwa nomufundhisi kana umwewo munhu anokupai mazano kana musingapindi chechi, muchaona kuti munokwanisa kukurudzigwa kunyora zvibvumirano zvenyu pasi kuti mese muzive mafungire enyu. Chinhu chakanaka kuchengeta gwaro iri kuti mukazokanganisirana munokwanisa kundoritarisazve moona kuti pakutanga makabvumirana chii.

Mazuvano haasi okugara usingazivi STATUS yako kana yemurume wako. Wana mukana wekuti mugare muchienda kuTest mese. Kaviri pagore zvinoita. Ukaona waita gosoro risingadi kupera, imbofunga kunotestwa. Ukaona waita tumaronda kusingadi kurapika, funga yokunotestwa.

Kuenda wega kutest hazvina chazvinokubatsira. Test inoda kuti muende mese. Motestwa mese, moudzana zvokuita. Hino nyaya inoshungurudza ndeyokuti kana uriwe watanga kufunga kuti muende kutest unoitanga sei nyaya yacho nomurume/mukadzi wako. Kuti ungomuka rimwe zuva woudza mukadzi/murume kuti wava kuda kuenda kuTest zvinoita sokuti pane chaunoziva chisingazikamwi noumwe wako. Zviri nani kutanga watsanangura chikonzero chokuti wadirei kuenda kuTest. Chii chakufungisa kuenda kuTest? Kana usingagoni kutsanangura zvinoreva kuti iwe muridzi hauhwisisi nyaya yako.

Kana mange musina kumbotaurirana nenyaya iyi, unokwanisa kuti musi wamunotaura nyaya yokutanga mhuri, iwe woudza umwe wako kuti zviri nani kuti mutange maenda mese kutest nokuti mukatanga kuita nhumbu mukadzi ane zvigwere, mwana anozvagwa anazvo. Zvimwe zvacho zvinoitisa mwana aite bofu.  Mukahwisisana ipapo mochitanga kugaroenda kuTEST.

Kana mune Crisis, unokwanisa kugadzikana hana woudza murume kuti wamuregerera asi kuti mutangezve kuva murume nomukadzi, motanga manovhenekwa mese. Izvi hazvitaugwi nehasha asi kuti hana yakadzikama wotaurawo chikonzero chokuti murume unomuda asi zvaakutaridza zvinoreva kuti moyo wake hausi pauri. Kuti mudzokerane motanga maenda kuTEST. Kana achikuda anobvuma. Kana asingakuti anoramba zvoreva kuti wotora twako wodzekera kwawakabva.

Asi usamirira kuti pamusha paite CRISIS sokuti murume amitisa umwe mukadzi kana kuti azikamwa pakuhura, kana kuti mukadzi afungigwa kuti anohura. Kana masvika pakadai ukada kuwedzera nyaya nokuti ngatiende kuTest, uchaona kuti haabvumi. Anokuudza kuti enda wega iwe wazvifunga.

MuDIASPORA vashoma vasingatangi vaenda kutest nokuti zvinoitwa pachivande. Munongobhuka moenda monovhenekwa mese. Ukavaudza kuti wange uri kuAfrica vanokuvheneka mahara.

Mavhenekwa kokutanga hazvizonetsa kugaroenda muchinovhenekwa.

Kugara mumba usingazivi zvaunazvo kana kuti zvine umwe wako zvakafanana nomunhu asingazivi kuti haagoni kunyora kana kuverenga. Hazvina wazvinobatsira Iwe mese nemhuri yako muri padambudziko. Hazvibatsiri kuvaka zvinovakwa nokuti hauzivi kwaunenge uri vhiki inouya kana gore rinouya.

Kugaroenda kuTest hazvirevi kuti uri hure kana kuti unofunga kuti umwe wako ihure. I program yamunokwanisa kuva nayo mese kuratidzana kuti hamuna shungu nezvechihure. Ukahwa umwe wako achiramba kuenda kuTEST anenge asina kuhwisisa kuti test inorevei pakati penyu. Ndizvo ndati usazongotanga kufunga nezve TEST kana wahurigwa. Funga nezveTest usati wava ne dambudziko mumba. Funga nazvo mune mufaro mumba.

Ukatarisa mudzimba uchaona kuti vakadzi vanokangamwira varume vavo panyaya dzechihure vakawanda kupfuura varume vanokangmwira vakadzi vavo kana vahura. Onazve kuti zviri nyore kumunhukadzi kuti abate chigwere, iri ngari yokuti mukadzi anopiwa urume hune chigwere hunokwanisa kugara mukati make kwemazuva matatu.  Izvi zvinoreva kuti kana uri murume ane mukadzi mumba, ndiwe unofanira kukurudzira mukadzi wako kuti mese muende kuTest nguva nenguva kuti mudzivirire kuhura, kana fungwa dzokuhura. Ndiwe unofanira kukurudzira mukadzi wako kusununguka pakutaura nyaya dzinomudya moyo, kuti umubatsire kudzigadzirisa.

Murume ndiwe unofanira kuronga zvinovaka musha. Ndiwe unoterera nyaya dzomumba nokukasira kudzigadzirisa. Ndiwe unofanira kuhwisisa kuti mukapokana, ndiwe unokasira kuudza mukadzi wako nezverudo gwako kwaari uye nokumhuri yenyu. Ndiwe unombundikira mukadzi wako nokumupa rudo pese paunogona napo kuti agare achifara. Ndiwe mukuru wemusha.

Tora mukadzi wako mutaure mupanane nguva yokunoTESTWA mese kuda kaviri pagore. Uchahwisisa kuti pavanhu vakadai, chero umwe wenyu akahura anofunga kushandisa kondomu kuti asabata chigwere uye asaunza chigwere kumba.

Umwe noumwe wedu munhu akazvimiririra pautano hwako. Murume wako haasi iye muridzi weutano hwako asi ane simba rokukukanganisira upenyu. Mukadzi wako haasiri iye muridzi weutano hwako asi ane simba rokukukanganisira upenyu. Kuhwisisana mumba chinhu chakakosha. Ukahwa murume/mukadzi wako achiti ari kuda kuvata newe, fungisisa usati wamurambira. Hwisisazve kuti kubvuma kwako kunobva pakuziva kuti haasi kuzokupa zvigwere kana kuuraya mese nokusiya vana venyu vava nherera. Sokuona kwangu mukadzi ndiye Manager weupenyu hwemumba saka ane RESPONSIBILITY yokuongorora zvese nokuzvigadzirisa. Varume, zvikuru verudzi gwedu ava, chikuru mufungwa dzavo kuziva kuti mukadzi wake anoda zvinodiwa nomurume. Zvimwe zvese zvokuti vana vanoreriwa nani kana tafa varume havanei nazvo.

Saka isu ngatiite nyaya dzinovaka varume vedu kuvaita vanhu vanoguta mumba uye vanotaura zvavanoda kuti zviitwe. zvadaro toita tovagutsa togara hana yakagadzikana. Kuenda kuTEST kuti ukasire kugadzirisa zvinenge zvakanganisika.


Udzai vamwe!!!!





Saturday, 7 December 2013

Kuvata wakapfeka hembhe

Kuvata wakapfeka hembhe iwe une murume/ mukadzi
Kune varume vari kubvunza kuti ko sei mukadzi wemumba achinovata akapfeka zvipfekwa asi ari mumubhedha umwe chete nomurume wake. Nyaya yakadaro zvoonekwa kuti mukadzi akadai anobudisirawo murume wake zvipfekwa zvokuvata nazvo kuti murume apfekewo vonovata vakadaro. Iyi inyaya inoitika mudzimba dzakawanda, zvikuru dzevanhu vane mari yokutenga zvipfekwa zvokuvata nazvo izvi.

Mubvunzo ndewekuti chinhu chakanaka here kudaro? Tichitarisa mavatire evanhu vakaroorana tinoona kuti umwe noumwe anowanika akasununguka pamabatire aanoita umwe wake mukuvata kwavo vese. Hino kana wakapfeka zvipfekwa kazhinji murume anopfeka rakaita sebhurugwa asi pamweri risina zipi, zvokuti mukadzi wake anokwanisa kupinza ruoko obata nokutambisa chombo semadire ake kana ada zvokurhojana.
Mukadziwo akokwanisa kupfeka hembhe huru yokuti murume akadawo kukwiridzira kumusoro zvokuti makumbo nemagaro zvisare zvakashama anokwanisa kuzviita pasina dambudziko. Sokuona kwangu kana zvipfekwa zviri zvakadai hapana chinhu chingahi chakaipa pakupfeka uvete.

Nyaya iri kubvunzwa pano ndeye vanhu vanoti vamboroorana vakagara nguva refu pasina anopfeka chinhu pakunovata, kozoita umwe musi wekuti mukadzi/murume anongobva kunoshopa obva aunza zvipfekwa zvemumubhedha obva atozvipfeka pasina zvabvumiranwa. Ndipo panotangira nyaya dzevanhu vanonyora mwadhi vachikomburena kuti zvaitigwei.

Mumba zvinhu zvese zvinoda kuitwa nokubvumirana. Asi kungoti isu nevarume vedu kazhinji hatigoni kubvumirana pazvinhu zvakamisa imba. Varume vakawanda vanoona sokuti kubvumirana chinhu nomukadzi zvinotaridza kuti hauna samba mumba. Vanoda zvokungoita sokuti tiri muARMY pana Komandha umwe chete nesoja rake rimwe chete raanongoti akadaidzira kuti ita ichi kana icho chinoitwa pasina mubvunzo.
Zvozomushamisa ava kuona soja riya rapfeka bhurugwa mumubhedha risina kuudzwa kuti pheka bhurugwa. Kusawirirana kotanga. Uyavo mukadzi nengari yokusagona kutaudzana nomurume zvakanaka anongotsamwa kana aona zvakaipa zvaitwa nomurume. Pakutsamwa uku haachaudzi murume kuti akatsamwei. Murume ofunga kuti kuda pane zvaitika kuzhe kwemusha zvisinei naye onyararawo pane kubvunza mukadzi wake kuti zvaita sei. Zvadaro mukadzi ofunga kuti akanyima murume zvinhu murume anobva afunga kumubata zvakanaka. Pane kungoudza murume kuti Shamwari zvinhu hapana kusvika tataudzana zvakanaka panyaya iyi neiyo, muadzi anongonotorana nemazihembhe aakasiyana nawo musi wemuchato opfeka opinda mumubhedha.

Nyaya iri pano haisi yokuti vanhu vanopfeka zvipfekwa zvokuvata nazvo asi ndeyokupfekerana zvinhu pakunovata, zvinhu izvi zvange zvisingasipfekwi mazuva ese uye pasina kuti umwe wako pane chaanoziv nazvo. Ipapa ndipo pane nyaya.
Ukabvunza vanhu zvikuru vanhukadzi kuti sei vachipfeka zvipfekwa pakunovata unohwa nyaya dzakawanda.
1 Ndopfeka kuitira kuti kana imba ikabata moto ndisatiza ndisina hembhe.
2 Kuvata usina hembhe zvakangofanana nemombe ivete mudanga.
3 Ndinovata nehembhe kuti murume awane chokukumura pakuvatana
4 Kuona ndakapfeka hembhe dzakadai kunoitisa murume wangu zemo.
5 Handidi kuti murume wangu aone kuunyana kwemuviri wangu saka ndichipfeka izvi.
6 Kutya kuti ndikasura zvinyoro  kana kuvhinza chitubu ndosvibisa mashitibheta
7 Kana ndiri kumwedzi.

Ukazobvunza munhu kuti akapendisira kuita zvese zvinomutyisa kuita avete riini unohwa oti haana kumbozviita asi anotya kuti zviitike. Hino kuvata wakapfeka zvinhu uchitya kuti imba ikabata moto ungazotiza usina chawakapfeka hazvina musoro nokuti imba ikabata moto iwe urimo nhumbi dzawakapfeka dzinokwanisa kubatawo moto. Nati kutovata usina zvawakapfeka.

Musikana kana angoti kurei anovata akapfeka bhurugwa. Vakomana chete ndivo vanowanzovata vasina kupfeka zvachose. Kana wazoroogwa watanga kuvata nomurume, zvikuru mazuva okutanga muchimukirana kaviri kana kataru usiku, zvokuvata wakapfeka hazvikwansiki. Pedzezvo mukaramba mune rudo unojaira kupinzwa chombo uvete kana kuti wakasvinura usiku, zvokuti pamwe ukashanyarika murume avete unotokwidza gumbo kuseri kwemurume kuti apinze chombo ipapo uri kuhope iyewo ari kuhope mozopepuka chombo chava mukati, pamwe kusatombopepuka. Unoita makore nyaya yenyu isina ambofunga nezvokupfeka zvinhu mumubhedha. Saka zvinozotanga sei?

Mazuvano matangire azvo akawanda. Nguva yatiri ine zvakawanda zvinokwanisa kuitika.
1 Umwe amboshanya anodzoka achiwana uya asaya ava kupfeka avete.
2 Ukasiya mukadzi muri mune imwe nyika anosara opfeka avete.
3 Kana umwe agwara uya muchengeti anoziva kuti usiku anomuka achiriritira umwe wake saka nani kuvata wakapfeka
4 Murume akakuhurira iwe usina kwekutizira, unogara hako asi wovata wakapfeka kuti asakupa zvigwere.
5 Kana kuchitonhora musina magetsi, munopfeka kuti mudziigwe

Zvoitwa sei kana mukadzi/murume wako akupfekera iwe usingazivi kuti chii chaipa. Kana ichida kupokana nomurume/mukadzi wako, chinja nyaya dzokuvata pasina bvumirano. Munhu ajaira kuti tinovatana tisati tabatwa nehope anoda kupiwa chikonzero chokuti sei zvinhu zvisina kumira zvakanaka. Kune vakadzi vasingakwanisi kutaudzana nevarume vavo zvokuti chero ane zemo haakwanisi kuudza murume zvaanoda. Mukadzi akadai anomirira murume kuita zemo iye ongoziva zvokuita pakuhi vhura. Mukadzi akadai akazoonekwa apfeka zvinhu mumubhedha zvinotyisa murume.


Varumewo kungoerekana murume wako akupfekera pasina chawaita chaunoziva zvinovhundisa uye zvinoreva zvega kuti nhasi hapana chinoitika pakati pedu. Ndiko uchiona vanhu vachinyora vachibvunza kuti ndotangira papi umwe wangu ari kuvata akapfeka zvinhu. 

Vanhu gadzirisai nyaya dzenyu noumwe mukana kwete kutanga nokupfekerana pakunovata. Kana une chigumbu pamoyo, zvichikunetsa kutaura, wana umwe mukana wekuudza umwe zviri kukudya moyo. Kumupfekera pakunovata kutowedzera dambudziko rako zvokuti unokwanisa kutotanga imwe nyaya tsva yauingakwanisi kuzobatanidza neiya yawagara unayo. 

1 Nyora mwadhi upe murume, mukadzi wako averenge. 
2 Kumbira tete vakugarisei dare
3 Udza munhu nokumubvunza mibvunzo unonanga kwauri kuda kuenda.


Chinoita kuti nyaya yokupfekerana iite nyaya ndechokuti kana muchivata mese musina kupfeka zvinoreva kuti muri kuudzana kuti imwe noumwe anokwanisa kuita zvaanoda nomuviri weumwe. Varume vanofunga kuti muviri wemukadzi chinhu chinoshamisira. Unoona murume mukuru achiti kana oda hope anoisa ruoko pazamu romukadzi wake napo napo otoridza magwiriri. Musi waanoshaya zamu iroro nokuda kwekuti wamupfekera hembhe ndiwo musi waanofuma muromo uri mumhino nokusvotwa nazvo. 

Isuwo vakadzi kuvata wakagumbatira murume wako musina kupfeka zvinopa SECURITY yokuti hauna chinokudya moyo. Kuti pepu murume wako achimwa zamu avete hope chinhu chinotaridza rudo. Kugonyerana muvete wopepuka murume akamira chombo chiri mumagaro ako iye avete zvikutiwo ukangoti suduruke gumbo simudzei anopinda, chinhu chakanakawo hacho. Hino musi waanokupfekera zvoita sokuti ari kukuudza kuti chinzvwimbo chako mumba muno hauchisina. Simba romukadzi pamusha rinobva pakukudzwa nokukosheswa nomurume. Muviri wemukadzi newemurume kuitirana havi chinhu chikuru pamusha. 

Saka kana tosvotesana kusvika pakupfekerana hembhe mumubhedha zvoreva kuti RELATIONSHIP yava kuda kupera. Ndosaka ichizoita nyaya. 

Ini sokuona kwangu, nguva yokuvata inguva yokuti mukadzi nomurume vanowana nguva yokuva munhu umwe chete. Vanobvisirana hembhe vombundikirana voterera moyo yavo inotinhira pamwe chete kureva kuti vanhu vaviri havo asi paupenyu nomurudo munhu umwe chete. Kana usina kuhwisia nyaya iyi hauna kuhwisisa chikonzero chokuti uve munhu akaroorana noumwe. Zvikuru vanhukadzi. Munhukadzi ane murume munhu anofanira kuhwisisa nyaya dzese dzemagarire emumba. 

Kuhi mai vemba zvinoreva kuti une mabasa akawanda. Uri mai vemhuri yese zvese nomurume wako. Pakunovata murume anopiwa nguva yakewo yokuva pamwe chete nomukadzi wake. Muviri wako pa 8 Hours dzokuvata  ndewenyu mese. Rega murume ave pedo newe pamoyo, pafungwa, panzwimbo. Kana mune simba razvo munorhojana henyu kuri kutsvaka mukana wekuva munhu umwe chete. Ukaona murume achikupinza chombo, hwisisa chikonzero chacho chinoitisa varume kuda kuva mukati memukadzi wake zvokuti ukamurambira anoshungurudzwa nazvo. 

Pamwe musina hembhe kudai unopepuka murume akati twii asi uku avete hope, wapepuswa nokugogonegwa makaro nokumira kwake. Kana usina hembhe kudai unongosimudzira gumbo wogonya wonangisa murume wako wotohwa tyotyotyo kupinda. Chero ukada kumubudisa urume chero ukasada chinhu chakangonakawo kuhwa murume wako ari mukati mako. Hino kana mune ano mazisaga amakapfeka, hapana chinoitika. Nani mutovata henyu uyu kwake uyu kwake. 

Varumewo, dai maiterera nyaya dzedu mukahwisisa kuti mukadzi anobvisa hembhe ovata akashama nomurume wake, ovhurira murume wake makumbo, osimudzira chiuno kugamuchira chombo chomurume, dai maizama kuhwisisa kuti anozviitirei, uye kuva pamwe chete nomurume wake zvinokonzerei mufungwa, mumoyo uye mumuviri wake, maizviita mune rukudzo pavakadzi venyu. Maizohwisisazve kuti sei kushaikwa kwenguva iyi mumba kuchikonzera kushungurudzwa. 

Murume nomukadzi vanopanana nguva yokuvata iyi vasina hembhe uye vakasununguka pamaitire avo pamiviri yavo, vanhu vanogarisana vasina matambudziko akawanda kana kufungirana kwakaipa, kana kusvotesana, kana kusahwisisana mumba. 

Ngatihwisise kukosha kwezvinhu zvidikidiki zvemumba.  

Kana wange wakajaira kuvata wakapfeka, imbofanoudza murume wako kuti nhasi unoda kuvata usina chawakapfeka nokuti une zemo. Zvadaro fungwa yomurume achiti "kana asina hembhe ane zemo." Zvinhu zvombowedzera kwenguva.

Wedzerai vanowedzera!!!!!

Udzai vamwe!!!!

Thursday, 24 October 2013

Murume no Mukadzi vanoshanda vese

Kuhi mese munoshanda
Kana uchida kuona kuti munhu ava munhu mukuri ane musha tarisa maitire ake pazvinhu zvemhuri yake. Munhu ane CELL PHONE kureva kuti anokwanisa kutaura nevamwe vanhu vemhuri yake anofanira kutaura nemhuri yake kupfuura kutaura kwaanoita nevamwe vanhu vasiri vemhuri uye vasiri ve bhizimisi rinounza mari mumba. Chimbotarisaiwo nyaya yaMai Fende yavari kubvunza kuti chavakakanganisa ipapo chii?

Mai Fende nababa Fende vese vanoshanda mabasa akasiyana. Vese vanomukira kumabasa uye vese vanoti mwedzi wapera vounza mari kumba. Baba Fende vanomwa doro asi Mai Fende havamwi doro kusi kuzvisarudzira kusamwa doro have asi vachikwanisa kumwa . vese vane mafoni avo ekukwanisa kutaurirana pane zvese zvinoda kutauriranwa. Murume kakore 31 mukadzi makore 26. Vana Havana kwahi tozozviona gore rinouya tatenga imba.

Vasati varoorana murume aimiramira kutaura nomukadzi wake zuva nezuva kumuitirawo zvakanaka, Kumufonera nokumutiumira Message pakati peusiku kwahi ndakushuva chose. Mukadziwo achidavira nokuudza murume zverudo chete.  Gore harina kupera varoorana asi nyaya yavo yatova pakupokana nengari yokumwa doro kwemurume. Vachiri kunyengana murume aingomwa doro kana kwaita Party chete.  Mazuvano China neChishanu anopfuura nokubhawa (PUBLIC HOUSE) omwa mapainzi akeozouya kumba adhakwa. Achienda kubhawa ukamufonera haadaviri foni. Iye haafoni kumba kuudza mukadzi kuti ava kuenda kubhawa.

Mukadzi anobika, omirira, opredzisira adya ega murume asipo. Murume ozouya  kumba opopotera mukadzi kwahi uri kuchengera uye hauvmbi neni. Hapana chakaipa kunomwa doro neshamwari dzangu.  Mukadzi otsanangurawo kuti foni ndeyokufona kuti uripi ndigorega kufunga kuti pane chaitika. Kwahi bodo, ndiri murume mukuru anozvishandira achitambira mari yake saka rega ndimwe doro neshamwari dzangu kana ndichida kumwa doro.  Bopoto mumba roitika China neChishanu vhiki imwe neimwe. Mamwe mazuva awa hapana chakaipa.

 Mamwe mazuva hapana chakaipa. Mai Fende vanobva kubasa vomisa mota yavo pazhe vopinda mumba votanga kuronga yokubika. Napo napo murume osvikawo nemota yake  vogara voita nyaya vodya, vogeza vonovata.
Mwedzi wakapera vakapopotedzana uri musi weChishanu kusvika pakuti murume akanovata kwake ega ndokusiya mukadzi ega. Mukadzi akachema kusvika aona kuti hazvibatsiri chinhu. Weekend yese hapana akataura nezvokudhakwa. Vese vakangoti zii kusvika muvhuro vakamuka ndokuenda kubasa.  Murume akatanga kuenda ndokusiya mukadzi. Mukadziwo ndokuzoenda kwake.
Murume akadzoka kubasa ndokuwana mota yemukadzi iripo pamba asi mukadzi haapo. Imba yakakiiwa. Akambofunga kuti pamwe mukadzi aenda kunoshopa ndookugarawo zvake achiona TV. Nguva yaenda murume akatora foni yake ndokutanga kutsvaka mukadzi wake. Foni haina akadavira Yaingoratidza kuti iri OFF. Murume akazama azamazve asi hakuna akadavira uye haina kurira.  Akanobvunza pavavakidzani kuti vaona mukadzi wake achisvika pamba here, zvikahi kwete. Ko mota hamuna kuihwa kutinhira here, zvikahi bodo mota yaswera pamba nhasi. Murume ndokutanga kutenderera musoro kuti mukadzoi aendepi. Akambozama kufonera mapurisa mapurisa ndokumubvunza kuti munhu wawati arasika ane makore mangani? Zvikahi 26. Mapurisa ndokuti  ava munhu mukuru saka wozotifonera kwapera 24 hours asipo.  Murume akagara mumba hana ichitinhira nokutya nokusahwisisa zviri kuitika.

Kuma 9 pazhe pakamira mota yaasingazivi iye ndokubuda kunoona kuti zvaita sei, wanike iTAXI. Akatarisa mukati ndokuona mukadzi wake achizama kutsvaka mari yokubhadhara dhiraivha asi pasina chiri kufamba. Mukadzi akadhakwa zvokukoniwa kuvhura zipi yebhegi rake. Pakumuona murume akatanga kupopota kuti wange uripi usiku hwese? Sei unina kudavira foni ? nyaya ndokutotangira pazhe ipapo. Dhiraivha akazosara oenda nyaya yatova pakati. Murume kupfirapfira moto nehasha.

Vava mumba murume akatsvaka chokurovesa mukadzi ndokuwana tambo yemagetsi yeketero ndokuipeta ndokurakasha mukadzi nayo akamuvharira muBEDROOM mawhindho akavhagwa. Akarakashwa magaro nemakumbo kusvika  hasha dzemurume dzapera. Murume ndokunovata kusipeya kuya kwaakavata neChishanu achiti nokuti mukadzi andituka kuti ndamwirei doro neshamwari dzangu.

Chipiri murume akamuka ndokuramwa Breakfast yabikwa nomukadzi, ndikukwira mota yake oenda kubasa. Mukadziwo ndokukwira yake ndokuenda kubasa. China chosvika murume oenda kunomwa neshamwari dzake, foni haadaviri. Chishanu oendazve kunomwa neshamwari dzake, foni haadaviri. Muvhuro akasvka kumba wanei mota yemukadzi iripo mukadzi hapana. Akatanga kufona fona kumukadzi mukadzi foni haadaviri. Akafona shamwari dzemukadzi zvikahi tapedza tese basa na faifi akati ari kuenda kumba. 
Murume chokudya haana kuri kusada kubika. Akamirira mukadzi kusvika mukadzi auya neTAXI asina kunyanyodhakwa sevhiki yapera. Murume kwahi ukasandiudza kwawange uri ndokuuraya.Mukadzi ndokutaura kwahi ndange ndiri kubhawa neshamwari dzangu.

  1. Foni yako iripi? 
  2. Shamwari dzako ndivanaani? 
  3. Wange uri kubhawa ripi? 
  4. Akakudzidzsa kumwa doro ndiani?  Mukadzi wemunhu haamwi doro, asi ipapo aitomwawo nevamwe vakadzi vevanhu. 


Mibvunzo zana kumukadzi.  Hama dzemukadzi dzirimo muUSA dzofonegwa kwahi hamuna kuraira mwana wenyu. Anosvodesa. Kumwa doro sehure. Kana kubika haachatobiki mumba.

Mukadzi ari kuti Mai Chibwe ndibatsireiwo. Chii chandakakanganisa apa? Murume anomwa doro ini ndikati bheta ndimwewo doro nokuti chinhu chakanakira saimba kuita saka neniwo chingandinakira.

Tongai vanoihwisisa nyaya iyi.


Bvunzai Vamwe!!!!

Saturday, 12 October 2013

Kuneta Zvokutadza Rhoji

Kuneta Zvokutadza Rhoji.
Ndinowana mwadhi  dzakawanda dzichitaura nenyaya yokuti mukadzi/murume anoramba kuvata nomurume/mukadzi wake iri ngari yokuneta, zvikuru pakati pevhiki basa rakawanda. Kozoitazve mukadzi asingashandi anoudza murume anoshanda kuti akaneta . Zvoita sokuti ari kushandisa nyaya yokuneta kuti arambe kuvata nomurume chete. Nyaya idzi dzinokwanisa kukanganisa magarire evanhu mudzimba asi kuri kusangohwisisana chete.

Zvinonetesa
Kune zvinhu zvakawanda pamusha zvinonetesa munhu kusvika pakutadza kuvata noumwe wake. Zvizhinji zvacho hazvihwisiswi nomunhu asina nguva nazvo, ndizvo tichizohwa oti mukadzi /murume wake kusangoda kuvata naye.

Mukadzi –Mai vemba.
Kana uri mai vemba, pane mabasa aunotarisigwa kuita zuva nezuva akaita sokuti
Kuwadzira mubhedha pamunomuka.
Kubika breakfast
Kugadzirira vana kuti vaende kuchikoro pamwe kutoenda navo
Kusuka ndiro
Kuwacha hembhe dzokupfeka
Kuaina hembhe
Kuenda kumagirosa
Kunotra vana kuchikoro
Kuendesa vana kuma kirabhu okutamba kana kudzidza zvimwe zvevana
Kubika masikati
Kusuka ndiro
Kutsvaira ruvazhe
Kusakurira nokudiridza muriwo
Kubika zvokudya zvemanheru
Kugezesa vana
Kuverengera vana  nokubatsira kuita homework yavo yechikoro.
Kuterera zvinotaugwa navana nokupindura mibvunzo yavo
Kubatsira vana kuenda kunovata.
Kusuka ndiro nepoto
Kugadzira ma LUNCH Box evana  neremurume.
Kugadzira mvura yokugeza  yomurume neyako.
Kugeza
Kuita nyaya nomurume

Mabasa emunhukadzi pamba haaperi chero uri munhu akagwinya sei hako unngoswera umire uchiita basa chete. Ndiko kuhi mai vemba ikoko. Kana usingazvikwanisi murume anokasira kuona kuti hauzvikwanisi.

Pakunovata.
Apa ndipo paunozoona kuti uri kuda kuiswa chose asi muviri waneta asizve murume ari kuda. Ndipo unongoona kuti nani kungorega murume akubatebate kusvika wanyorova apa uchingomupawo hako manyawi asi uchihwa kuti muviri hauna simba. Zvadaro wongofongora woisa musoro papiro worega murume achizvibatsira kuchiuno shure uko iwe kungochemerera asi basa chairo hauna rokuita.

Movata henyu mangwana ndizvozvo futi.  Zvechikapa nokukwira murume zvangova zvokuita kamwe chete pavhiki kana vhiki mbiri. Idambudziko guru chose zvokuti unopota uchizvibvunza kuti ma Smoro hausi aya ane varume vatatu kana vana vanoti umwe anoisa manheru obva adzokera kumukadzi wake, umwe woisa usiku ovatapo nokuti mukadzi wake anogara kune imwe Town, umwe oisawo mangwanani  uya weusiku aenda kubasa, obva adzokera kundodhiraivha chovha yake. Umwe ozoisa masikati vaya vamwe vachiri kumabasa. Iwe mukadzi wemumba wozvishaya kuti uyu muhure anozviita sei.

Tikatarisa pakadai tinoona kuti muhure haana mabasa ese awa nokuti anongozviriritira iye chete. Kungotsvaira Flat riya rinobhadhagwa RENT nevarume ava.  Kana ada kudya anohi enda ku Nandos, saka ndiro haasuki, kubika haabiki, ma Lunch box anoitwa kudzimba dzevarume vake saka iye haaiti.
Nhumbi dzokupfeka anowacha dzake chete kuWashroom uye anomirira dzomboita dutu. Mabhurugwa anogara asina nengari yokumirira kuiswa.  Nhumbi dzevarume vaya dzinowachiwa nevakadzi vavo. Saka basa chairo haana. Ndizvo achiwana simba rechikapa kuvarume vese ava, iwe wemumba uchitadza kuitira murume umwe chete nokuneta. Hakusi kuti unenge usingadiwo kumbohwiswa pane moyo nomurume wako. Inyaya yokuwanda kwebasa uye kusahwisisa kwevarume vedu kuti mumba mune mabasa akawanda kudai. 

Mukadzi wemba anozowedzera kuneta kana achishandawo 8-5 sevamwe vemuINDUSTRY. Kubata ma lift uchienda kubasa nokudzoka manheru uku wambokwizwakwizwa mazamu nemagaro pakupakirana mudzichovha, zvigevenga zvekukwiza vakadzi zvinenge zvakatomirirawo chovha dzizere kuita musikahwa wazvo.  Unosvika kumba wakatosvotwa nechekare, uku mabasa ese aya emumba akakumirira kana wadzoka. Murume womuhwa achiudza shamwari dzake vachiita nyaya pakusuka mota neSvondo kuti anoda mukadzi anopepeta murume nechiuno.  Unongozviita musi umwe pavhiki. Mamwe mazuva kungofongorera murume iota zvaanoda movata. Iwe chako hapana. Uyawo murume haachinei nokuti wanakigwa here kana kwete, chero iye akuisira urume kuti awane hope. Ukatoita zemo pazviri unonoka kubatwa nehope iye achitoridza magwiriri.  Ndiyo REALITY yokuroorana muchishanda mese iyoyo.

Ukasaita hanya nokuzvigadzirisa munojaira upenyu hwakadai mopedzisira ume wenyu aratidza kusembugwa nemufungo wekuisana zvokuti uya ane simba nazvo anotanga kuona sokuti ari kunyimwa. Obva atsauka zhira yemuchato oita meso meso. Ukatarisa muraini renyu unotoona vamwe vari panyaya yakadai. Zvinohi ne WHO ONE THIRD yevanhu vakura zvokuda kuvata nevamwe vanhu uye vakaroorana noumwe munhu, vari kuhura. Zvoreva vanhu vakawanda.

Ma Arabhu  vanoona kuti mukadzi munhu anoenda kumwedzi vhiki yese pamwedzi, uye munhu anoneta nebasa romumba, saka vanoroora vakadzi vakawanda kuti umwe akati akaneta murume oenda kunovata noumwe mukadzi. Chavanozokanganisa ndechokuti havadi kuhwa kuti mukadzi anomurume anogara akaneta aenda kunotsvaka murume ane simba rokuvata naye. Saka inyaya yokudzvanyirira vakadzi chete.

Vakadzi tiri nani hedu pakuti tinogona kungoti rabada murume oisa hake ega. Kana zvakuwandira nhasi, udza murume kuti shamwari ndakaneta asi kana uchida kuisa isa hako asi uri wega nhasi. Murume anoona ega chokuita. Pamwe anoti chivata tozoita kuseni. 

Murume- baba vemba.
Murume mabasa avo pamba haana kuwanda asi murume anokwanisa kumuka kuchakasviba ochovha bhasikoro rake achienda kubasa. Oita kana 8-15 km, osvikako oshanda zuva rese akangomira.  Adaro ochovhazve bhasikoro rake achidzokera kumba. Osvika kwasviba iye abva kuchakasviba.  Anosvikowana pamba hapana huni, magetsi adzima. Okwirazve bhasikoro onanga kumusika kunotenga huni.  Odzoka otungidza nyuzipepa kuti aone kutema huni dziya.

Vana  vakanovata mukadzi omuudza kuti Ferdinand ambopfuura nepo achida mari yake yehuku dzatakatora mwedzi wapera.  Ipapo nyama mumba hamuchina asi kunodiwa mari yenyama yemwedzi wapera. Murume iota STRESS nokutadza kuriritira mhuri yake.

Mari yechikoro inodiwa vhiki inouya,  Mununguna wake akafa akamusiira vana vatatu vanopinda chikoro kumusha. Mari inodiwa hayo asi haina kufanana nemari yevake vari kuBoarding SCHOOL.  Asi Stress inongoita zvakadaro.  Murume umwe chete hazvifaniri kuti aite vana vashanu vari kuchikoro

Kuzoti ageza moda kunovata, samba rokurhoja mukadzi wake roita shoma. Munhu aneta nokuswera akamira kubasa uye kuchovha bhasikoro.  Fungwa yave panhamo dzake dzemari. Uya mukdzi ageza aka zvipfapfaidza nemafuta anonhuwirira avitarisira kurezvwa nokupiwa rudo, obva afunga kuti murume akaneta nokuti ari kuhura noumwe mukadzi. Bopoto rodzvagwa  ipapo. Musi warinozomera tinohwa mashoko akawanda.

Murume munhu anotarisigwa kutaridza kuda kurhoja mukadzi wako saka iwe wega ukaita mazuva maviri usina chawamboita. unokwanisa kupa mukadzi wako fungwa dzakaipa. Kana wakaneta taurira mukadzi kuti wakaneta azive zvakunetesa. Wadaro hwisisa kuti kuneta kwako hakupedzi zemo rake saka mukumbire akukwire. Zvadaro iwe chirega akwire iwe wongoongorora maitire ake wakabatirirawo kuratidza kunakigwa. Wosamukoira kuti nguva yake irebewo. Paunozomupa zvinhu anenge aguta. Movata henyu.

Garai muchiziva kuti mese munoda zvokuisana asi dzimwe nguva muviri unokuudza wega kuti nhasi hazviiti. Zvikuru varume vedu ava vatakapiwa nomusiki wedu. Kana akaneta chose kuti amisire mukadzi wake chombo agoita zemo rinogara nguva inonakira mukadzi zvinomunetsa. Iwe mukadzi ndiwe unongozoudza murume kuti ngatichigumbatirana hedu tivate. tozozviona mangwana kwaedza.


Saka todii?
Ngatihwisise tese kuti upenyu hwemazuvano hwakaoma saka kana taita vana tinofanira kuwana mazano okuriritira vana vedu. Kana tikaongorora upenyu hwedu tikahwisisa zvinonetesa tinokwanisa kubatsirana panyaya dzacho kuti pakunovata tinge tine samba rokurhojana zvinonakira tese.

Toti mukadzi haashandi murume anoshanda zvinonetesa. Mukadzi ngaaongorore mabasa ake kuti agadzirenguva yake zvakanaka kuti asawanza kuneta. Anokwanisa kuwacha kaviri pavhiki pane kuwacha mazuva ese. Anokwanisa dzidzsa vana kuzvigadzirira maLunch box avo uye kuzvigezesa kana vati kurei.

Gadziridza nguva dzako uwanewo nguva yokuita makuhwa nevavakidzani vako, ugowanazve nguva yokutamba nomurume manheru.

Tarisazve basa romurume wako uone paungakwanisa kumubatsira kuti kana auya kumba asashanda mabasa akawanda anonetesa.

Usatanga kufoya murume nenyaya dzokusada kurhojana newe. Ukamupa COMPLEX pazviri anotowedzera madambudziko aanawo. Murume ndewekurezva nokukurudzira kuti aite. Kana zvichikunetsa zama amire chombo, wobva wamuvatisa nomusana womukwira iwe murudzi womushandisira chiuno kusvika apera urume uku chemererawo kuratidza kunakigwa nazvo. Murume akada kukoira makadaro mudzivise umutaridze kuti unoziva zvokuita.

 Zvadaro tenda murume nokugona basa kwaanoita kuti mangwana ukadazve kumukwira aone sezano rakanaka.

Kana wakaneta zviri zvokungonetawo zvanhasi, usati warambira murume tanga waongorora kuti iye zemo rake riri papi. Kana rakawanda zvokuti rinoda kutapudzwa, rezva murume kusvika iwe wanyorova. Zvadaru itai maitire asingadi simba rakawanda.  Unokwanisa kuvata nedumbu wopatsanisa makumbo zvishoma wosimudzira chiuno. Murume anokutanyanga opinza chombo. Unotohwa kuti nyurududu chichipinda zvakadzika. Chimuudza aite zvisina ganyabvu kana sipidhi yakawanda. Kunaka kwazvo kunokwanisa kukupa simba rokujoinira pakukoigwa. Kana usina simba rega murume aite. Hazviiti kusachemerera nemaitire awa nokuti ukasimudza nokuderedza chiuno unobaiwa nokukwiziwa pausingasikwiziwi zvinova zvinonaka. Chikuru ndechokuti haudi simba rakawanda saka mese munonakigwa asi wakaneta.

Unokwanisazve kufongora murume okuita kusvika apedza iwe wakangofongora usina basa guru rawaita. Unokwanisazve kuvata nedivi wakafuratira murume, wosimudza gumbo murume wopinda. Wadaro wogonya kuti  kuti murume anyatse kukoira ari shure. Muudze asamhanyamhanya nazvo aite zvinyoronyoro.

Zvinoreva kuti kana wakaneta unokwanisa kubvisa murume zemo. Asi iye kana akaneta pamwe hapana chaanokuita. Kuvatana mumba mukadzi ndiye MANAGER saka ndiye anoti zvikaipa anokanganisika iye.  Varume vakakomboregwa kuti vanoita zvinoda miviri yavo kutipfuura.

Murume
Ukaona mukadzi wako achingokuudza kuti zvokuvatana haadi nokuti akaneta, ongorora maswerero ake uone paungamubatsira mabasa omumba. Kana waona pokumubatsira, zviri nani ushande naye pane kumutorera basa racho zvinoita sokuti wafunga kuti haasi kugona basa. Pakushanda naye bvunza maitire aanoda kuti basa riitwe.  Uchaona kuti mukushanda mese munoita nyaya mowedzera kushamwaridzana. Ndipo unopotawo uchimbomira basa wombopurudzira mukadzi wako. Ukawana mukana wombomuudza nyaya dzokuti unomuda uye une rombo rakanaka kuva nmukadzi akadai.

Uku kutsvaka kupa mukadzi manyawi. Usapopotera mukadzi kuti sei asingadi kuiswa nokuti zvinodzivaidza fungwa dzake kusvika pakuti anoona sokuti unongomudira kuisa chete. Akaita fungwa dzakadai unongozoona oti pakunovata ukada anongovhura makumbo asi hana zvimwe zvaanoita saka zvangofanana nokuti dai usina kupinza nokuti hauzivi kuti anakigwa here kana kwete.

Kana wakaneta pamwe chombo chinonoka kumira asi kana chamira rega mukadzi wako ashandise abve zemo. Pamwe zemo rinokupa simba wava mukati memukadzi zvokuti unotanga kukoirawo monakigwa mese. Pamwe unorega mukadzi oita basa ega. Chikuru kuwirirana nokuziva kuti muri kubatsirana. 

 Kuneta nguva dzese.
Ukaona umwe wako akaneta nguva dzese, hwisisa kuti pamwe ane chigwere. Kune zvigwere zvinopa kuneta nokushaisa samba. Enda naye andotesitwa aonekwe chikonzero. Pamwe zvinongoda mapiritsi kuti dambudziko ripere. Pamwe pane maVITAMIN aasiri kuwana.  Nyaya yokuda kuvata naye ndiyo nyaya inokwanisa kuratidza kuti ane dambudziko rinoda varapi.

Pamwezve kana ange azvara mwana pasina kupera gore, zvinokwanisika kuti ane Dipression asi pamwe haina kuwanda zvokuda kuenda kuchipatara. Batsiranai mudzokere pautano mutanga nyaya dzokuvatana zvishoma nezvishoma mowedzera kusvika pamunogonera mese.


Kutukanirana nyaya yokuneta handizvo nokuti dzimwe nguva idambudziko rinotoda kuti umubatsire kana kuti uende naye kuchipatara.

Ngatihwisisezve kuti kuneta kwemukadzi ane utano hwakakwana kunoitiswa nokusada kuvata nomurume wake iri ngari yokuti murume haasi kumugutsa kana kuti iye mukadzi ane chikomba kana kuti akanetawo zvechokwadi. Mukadzi anohura zvinomunetsa mufungwa kuhura kwake saka anowanzoderedza zemo romumba. Zvikuru kana achimhura murume wake pane chimwe chinhu.

Murumewo kuneta kunokwanisa kuitiswa nokuhura asi kazhinji murume akatanga kuhura anoonekwa nokuwedzera kuda kuvata nomukadzi wemumba, kwete kutanga kuti akaneta. Varume vanokavhira chihure nokuwedzera zviitwa zvemumba kuti mukadzi asafungira kuti pane chiri kuitika.

Maitire edu chihure akasiyana kuvakadzi nokuvarume zvikuru kana tange tisina kupokana zvinozikamwa pakati pedu. Saka usati wafungira umwe wako kuhura tanga wahwisisa kuti nyaya yako iri papi. Varume havanetsi kuziva kuti ari kuhura asi vakadzi vanonetsa. Mukadzi anohura anovanza chihure chake kupfuura murume anohura.

Kuneta mumba chinhu chinofanira kukasira kutaurirana pachiri nokuti chine nyaya dzakawanda dzinoti zviito, basa, chigwere. Usaiginowa munhu anogara akaneta kana kuzviiginowa iwe kana wapedza vhiki mbiri wakaneta.