Tuesday, 23 June 2015

Mibvunzo nemhinduro 3



Mubvunzo
Mhinduro
Q1
Kubata murume/mukadzi avete noumwe munhu

Ukabata murume/mukadzi wako ane umwe munhu, zvinoreva kuti nguva yokupopotedzana neyokutsamwisana yakatopfuura kare. Chirega kutambisa nguva uchipopota. Munhu wawazvionera wega achivatana noumwe munhu haasi munhu wekubvunza kuti zvaita sei.   Mirira vapedze zvavari kuita ugomuudza kuti chitora zvinhu zvako uende kwaunoda kuenda.

Kana wabata murume wako achivatana nomusikana webasa, kana kuti mukadzi wako ane mokomana webasa, usadzinga musikana/mukomana webasa uyu. Rega arambe achishanda kana une mari yokumubhadhara. Chokwadi ndechokuti haisi mhosva yake kuti avatwa naye.

Q2
Kabhinzi kane basa rei kumukadzi
Kubvunza kuti bhinzi ine basa rei pamukadzi zvakanofanana nomukadzi achibvunza kuti chombo chine basa rei pamurume. Kunakigwa kwemunhukadzi kwese zvako kunobva pabhinzi.Bhinzi ine mudzi wayo unotangira pasi payo wopatsana woita midzi miviri woti tande wakati umwe kurudyi umwe kuruboshwe gwechitubu wobatana nechitubu. 

Kana zviya murume ari mukati mechitubu achikwiza mukati nechombo. Anenge achitokwizirira panopfuura nomudzi webhinzi zvinova zvinonaka chose. Ukuwo kana ari munhu akachenjera anokwanisa kuti uku ari mukati uku ari kukweizirira bhinzi chaiyo nemaoko. Kana kuti iye muridzi ange achizvikwizirira nemaoko uku achikoigwa nomurume.

Bhinzi ndiyo inoitisa kuti kuvata nomurume kunake manakire akunoita.
Q3
Kuti murume asahura ndingaite sei

Munhu wese anohura anohura nokuda kwechimwe chezvinhi zvishomanana zvinokonzeresa vanhu kuhura asi zvikonzero izvi zvakasiyana kuvakadzi nevavurme.

Murume kazhinji anohura kana akaziva kuti haasi kugutsa mukadzi wake wemumba. Izvi zvinoitiswa nokuti anoziva kuti anofanisa kunge achigutsa mukadzi asi haazivi kuti zvoitwa sei. Kuzoda kuhura uku kutsvaka kuiwa REASSURANCE noumwe mukadzi kuti anogona basa kuti agowana chokumhura mukadzi wake nacho. Chimwezve ndechokuti akakurira mumhuri ine vabereki vaihurirana zvaizikamwa nevana.

Chimwe ndechokuti haana SELF RESPECT saka haakwanisi kupa rukudzo kune umwe munhu iye asingazvikudzi.

Murume wako akangotanga kuhura hazviiti kuti azorega kuhura.

Hapana chaunokwanisa kuita kuti murume wako arege kuhura kana ambohura.
Q4
Kugeza chibereko kunoitwa sei?

Chibereko chinonetsa kuchigeza kumba nokuti hachikwanisiki kuti muridzi asvike mukati macho. Kamukova kechibereko kari mukati mechitubu uye kadikidiki zvokuti kana penzura chaiyo haikwanipo. Chibereko chinokwanisa kuda kugezwa dzimwe nguva, sokuti wabva mimba kana kuti waita anohi maFABROIDS mukati, unokwanisa kundosukwa chibereko. Asi kazhinji chibereko hachisukwi. Chinozvisuka. Asi kana uchifunga kuti pane zvinokunetsa, enda undoona murapi utariswe.
Q5
Mubobobo haukanganisi here nhumbu?

Mubobobo mushonga unotaugwa navanhu kuti kana murume/mukadzi ane mushonga uyu anokwanisa kuvata nomunhu wese zvake aada kuvata naye. Zvinoreva kuti anongohura nevakadzi/varume vevanhu.

Chokwadi ndechokuti hakuna mushonga unohu mubobobo. Unongori mutauro kuti vanhu vatyiswe nazvo kana vari vega. Hazviiti kuti munhu akwanise kuvata nomunhu asingadi kuvata naye, uyezve hazvigoni kuti uvatwe newe usingaoni mhunhu ari kuvata newe. 


Hazvigoni chose chose. Munhu ava nemakore anopfuura gumi haafaniri kusaona kuti mubobobo mushonga wenhema wekutyisidzira vanhu vasina njere.
Q6
Kwandingawane mushonga wekusunga murume

Unokwanisa kutsvaka Mupasi rese kwemakore kana zana nemakumi mashanu asi chokwadi ndechokuti haufi wakawana mushonga wakadai. 

Pane nyaya dzakawanda dzinotaugwa navanhu pamusoro pezvinoitika. Nyaya zhinji dzakatanga dziri dzekuti vanhu vaseke kusvika dzava pakuti vanhu vofunga kuti ichokwadi. Hazvikwanisiki kuti usunge murume kana mukadzi wako.
Q7
Kukisana kunoitwa sei? 
Kana wafunga kukisana noumwe munhu, iyewo achida kukisana newe, ingokisanai usinga fungwa dzokuti zvinoitwa sei. Ukatotanga kufunga kuti zvinoitwa sei, ndipo paunotokanganisa kukisa kwacho. Kukisana kunoda kuitwa kana muri vanhu vanodanana kwete zvokuita chihure. Kana muchidanana kukisana kunonakidza.

Asi kana uri murume, usapinza rurimi mumuromo memmukadzi kusvika iye atanga kupinza rurimi gwake mumuromo mako kuratidza kuti ari kuda kuti utevedzere.

Kukisana kunoitisa zemo kuvakadzi nokuvarume. 
Q8
Ndokumbirawo kubvunza kuti ndingashandisei kuti kuzasi kwangu kusaite hwema husinganzwisisiki,ndinoedza kugeza ndichiisa chigunwe asi pane hwema husingandifadzi,pane chandingageza nacho here kuty kasmell aka kasanzwika ndigare ndirifresh
Chokutanga ndechokuti usa jaira kuisa mvura mukati mechitubu. Chitubu hachigezwi mukati uye hakuna LIQUID yaunofanira kuisa mukati kuzhe kweurue hwemurume wako umwe chete.

Kana pane hwema hunobuda pachitubu, zvinoreva kuti une INFECTION saka unofanisa kukasira kundorapwa. Usanonoka.

kana wakamovata nomurume panguva yaunoziva kuti hwema hwaivapo, murume ngaaendewo kundorapwa nokuti akasadaro anoti zviya warapwa okupa utachiona hwacho futi.

Usaisa Perfume mukati mechitubu. Chitubu chinozvigeza chega mukati. Iwe unongogeza kuzhe uye pasi peganda rakafukidza bhinzi panova panoita gweme kana kuchipisa. Apa panogezwa ne Vinegar kamwe pavhiki, sezvaunoita muhapwa. Kana une muviri mukuru wogezazve muzvidya nepasi pemazamu panoita BACTERIA inoitisa hwema. 
Q9
Ini ndaita dambudziko randoshuvira kuti dai rakurukurwa. Mushure
memakore maviri taroorana nemudzimai wangu ndakatanga kunzwa kushaiwa
shungu nekurara naye. Handizivi kti dambudziko ringava papi. Pamwe
ingatomira asi shungu chaidzo dzkumuisa ndisina. Chandava kutya
ndchekuti iye anenguva dzaanenga achidawo chaizvo asi ndotadza
kumuitira zvaaonoda. Saka pamwe achafungira zvakawanda, ndinotyira
kuputsika kwemhuri yangu
Vanhu vese, varume vevakadzi vanokwanisa kuita nguva yavasina hanya nokuvatana nomurume/mukadzi. Iyi inyaya yokuti dai vanhu vauinatsa kuhwisisa kuti inokonzera fungwa dzakaita sei mumusoro weumwe wako, waikasira kuigadzirisa.

Pane nyaya dzakawanda dzinoputsa dzimba dzevakaroorana. Nyaya yokusavatwa newe imwe yehuru dzacho. Kana uri munhu ane makore ari pasi pe 50, kufunga kuti umwe wako haana hanya nokuvatana newe chinhu chinoshungurudza zvokuti.

Kana chombo chisingamiri kana kuti usina zemo pamukadzi wako, chokutanga zvibvunze kuti kana uchiona kana kufunga vamwe vakadzi chombo chinomira here. Kana pasina chinochimisa, zvoreva kuti pane chikonzero chaunofanira kukasira kugadzirisa nokuti chokwadi ndechokuti musha wako uchaparara.

Pane zvikonzero zvimwe zvaunokwanisa kusafungira, sokuti:
Une chigwere che BP
Uri kumwa mushonga unoitisa kusamira kwechombo
Uri kushanda basa nguva yakarebesa
Uri kushanda pauri kufema poison.
Iwe kana mukadzi wako akambohura mukasaregererana zvakanaka
Mukadzi wako akazvara mwana. Mwana anoitisa murume ashaye nguva nomukadzi
Imba yamunogara haina kugara zvakanaka.
Hauna mufaro muupenyu hwako.
zvokudya zvako hazvina utano. 
Q10
Kubatwa mazamu kunobatsirei? 
Kubatwa mazamu zvakanaka nomurume wako kunoitisa zemo. Asi kubatwa mazamu nadhokotera kunoitisa kudikitira nokutya kuti pane chaangawana mumazamu.

Kana muchitamba nomurume pane pamuviri wako nzvimbo dzaanokwanisa kubatabata achitama nadzo, kana kukisa nomuromo, kana kusveta zvinova zvinoitisa zemo.

Mazamu, mutsiba, zheve, muromo, magaro, dumbu, matinji, zvidya, mabvi, bhinzi.

Zvese izvi zvinowedzera zemo. Kana watova nezemo kare, ukabatwa ganda chero papi zvapo unowedzera zemo. 
Q11
Ndingaita sei kana murume asingadi kutamba neni pabonde
Kana uchiti haadi kutamba newe pabonde uri kureva kuti haadi kumbotanga maitisana zemo mozovatana here kana kuti haatombodi zvokuvatana zvacho?

Kana asingafariri kumbotamba tamba muchibatana nokukiana nokupurudzirana nokukwenyana pamberi nokuzvetana minyatso, etc, iwe ndiwe unotomuratidza kuti zvinhu zvinotonakawo kuzviita. Unotanga nokunanzva zheve dzemurume. Hazviiti kuti unanzve agotadza kumira chombo. Unokwanisazve kusveta minyatso yake zvinova zvinomisa chombo zvakare. Unokwanisa kumukisa pamuromo, nokumupurudzira chombo wopota uchifuridzira. Kudziya kwemweya wekufuridza nawo kunomisa chombo zvinofadza chose.  woziti waone kuti chamira chimbodetemba mutupo wake umuudze kuti kuona chimire kunokufadza chose.

Mangwana anokurega uchitambazve nacho mopedzisira moita tsika yokumbotamba musati mapinzana.

Kana asingadi kuvatana zvachose pane nyaya dzamunofanira kugadzirisa nokuti mucharambana nguva isina kupera yakawanda. 
Q12 
Ko vakadzi vanofarira here hurume. 
Vakadzi vakawandisa vanofarira murume anoti pakuvatana obudisa urume hwakawanda huchipiwa mukadzi. Iyi inyaya yokuti zvinoratidza kuti anoda kuvata newe nomoyo wese. Kana murume akasabuda urume pakuvatana zvinoshungurudza mukadzi nokuti anoona sokuti haana kugona basa.

Kuchururuka mapedza basa zvinoratidza kuti wapiwa urume hwakawanda. Vazhinji tinokomburena hedu asi nechomumoyo kufara kuti murume wangu andipa hwakakwana nokuti anonakigwa nokundivata.

Asi chokwadi hacho ndechokuti chinowanza urume kuwanda kwemvura yaanomwa murume wako. 
Q12
Chii chinoitika kana ukagarisa usina kuvata noumwe munhu? 
Kana uri munhurume unotanga kuzvirotera (kubuda urume uri kuhope) Kana uri munhukadzi hapana chinoitika.

Kuzvirotera hapana chakwakaipa. 
Q13
Ndakapiwa nhumbu nomurunyana. Ndodii?

Murume airwara pandakavata nomuningina wake. Ndakazoziva kuti ndine nhumbu murume ashaika.  
Wakahura nehama yomurume murume ari mupenyu. Chiwana mukuna wekuzivisa murume uyu kuti wava nemimba. Wadaro kana ane mukadzi nechekare usada kupokanisa vaviri ava.

Rera mwana wako wakadzima kuti vanhu vakubatsire kurera. Usawanza nyaya dzako. Hatisi kuti reva nhema asi kuti dai wahwisisa kuti ndiwe wakahura saka chirega kuti chihure chako chikanganise upenyu hwevasina kuhura. 
Q14
Kana ndichiswa nomurume wangu hapana chandinonzwa chandingati chinonaka. Ndingaitawo sei. Ndini here kana kuti murume ane diki. 
Saizi yechombo handiyo inoita mukadzi anakigwe. Maitire amunoita ndiwo anoita munakigwe mese. Kana ichiti hapana zvainohwa handizivi kuti uri kuti hauhwi kuti chombo chapinda here kana kuti muchikoirana hauhwi kuti muri kukoirana.

Kana uchifunga kuti murume wako ane diki zvinoreva kuti iyewo ari kufunga kuti iwe wakakurisa zasi. Ngatichitarisa kuti chiri nyore kugadzirisa ndechipi. Hazviiti kuti murume akudze chombo chake chero zvodii. Asi munhukadzi anokwanisa kusimbisa masuru kusvika ava kugona kushinya chombo chero chesaizi ipi zvayo. Verenga pakahi kusimbisa masuru.

Mochinjazve maitire enyu. Ukavata nedumbu worega makumbo ari pamwe chete asi wongoti simudzei chiuno kusvika murume akupinza neshure, uchaona kuti unokwanisa kushinya chombo zviri nyore, uye chombo chinopinda chese zvichibva nokuti une muviri wakakura sei.

Ukavata nedivi murume wokutanyanga gumbo riri pasi woisa riri pamusoro pafudzi rake, murume anopinda zvinogutsa chose. Imozamai izvozvo. 
Q15
Ndokubirawo rubatsiro. Ndakaroora muna March 2015 mukadzi wangu ndokuuya kuzogara neni. Before taingoonanana kamwe chete pamwedzi. Takatanga zvebonde muna November 2014.

Dambudziko nderokuti mukadzi wangu haaguti. Anoda bonde mazuva ese, pamwe kaviri pazuva. Zviri Normal here izvi.
Vese vachaverenga nyaya yako vachakutuka nokusaziva upenyu kwauri kuratidza. Kana muchangoroorana munoita nguva yakareba muchingoti chero pamawana mukana movatana. Ndizvo zvinoita vanhu vese vakaroorana zvorudo. Vakaroorana zvokutizira ndeimwewo nyaya.

Zvamuri kuita izvi ndizvo chaizvo zvinofanira kuitwa mumba tsva. Iwe chirega kuona sokuti mukadzi wako haaguti. Ramba uchimupa zvaanoda uchiratidzawo kuti uri kufarira zvamuri kuita. Ukaita sokuti hazvikufadzi unoshungurudza mukadzi wako chose.

Chinhu chakanaka kuti munogara pakanaka pokuti munokwansa kuvatana zuva nezuva pasina anokukanganisai. Chiona kuti wafadzawo mukadzi wako. Mune rombo raknaka chose. Zvichazochinja mava nemwana nokuti munoshaya hope uye munoneteswa nokurera mwana. Rambai makadaro. 
Q16
Kuti chombo chinzi chidiki chinenge chiri chidiki zvakadii?
Pane musikana akanditi ndine chomo chidiki saka zviri kundinetsa
Varume vakawandisa vanofunga kuti kukura kwechombo kune basa asi hakuna basa pakuvatana nomukadzi anoziva zvaari kuita. Chombo chinofanira kukura kupfuura 12cm kureba iye 13cm kukora (kusungwa nebhandhe rakareba 13cm) 

Kana chombo chimire AVERAGE yokukura yevarume inoti. 
Kureba 14 cm kukora 13cm Kureba kunopimwa pamusoro

Chitubu chemukadzi chakadzika 9 cm uye chinotatamuka pakupinzwa chombo saka hazvinei kuti chombo chakakora sei.
Q17
Ko CANCER yechibereko inoitiswa nei? 
Cancer dzinoita pazvinhu zvokugadzira vana dzakasiyana siyana
Kunoti OVARIAN cancer inoitika panogadzigwa mazai
Koti CERVICAL cancer inoitika pamuromo wechibereko panopinda nourume muchiereko kana wavata nomurume

Cervical Cancer kazhinji inoitiswa nokuti munhu akatanga kuvata nevarume pasina makondomu iye musikana ane makore ari pasi pe 18. Zvinoreva kuti achazoita Cancer iyi ava munhu mukuru.

Ukavatazve nevarume vanopfuura 6 usingashandisi makondomu  unowedzera chose chanzi yokuzoita CANCER iyi. Kuvenganisa urume hwevarume kunoitisa CANCER iyi.

Kotizve kana murume wako achihura nevakadzi vanohura nevamwe varume iwe uchizovata naye, unoita cancer iyi.

Asi kune zvimwewo zvikonzero zve CANCER iyi, sokuti kana mumhuri yenyu muine vanhu vaiita inokwanisa kuiitawo. GENETIC. 
Q18
Ko chombo chihombe chinokwanisa kundikuvadza here ndikarara nemurume anacho? 
Chombo chihombe chinokwanisa kukukuvadza kana warega chichikupinzwa usina kunyorova. Chombo chesaizi ipi zvacho chinokwanisa kukukuvadza kana usina kunyorova. Ndizvo uchiona kuti kana munhu ava munhu mukuru uye ajaira kugarovata nomurume, akabatwa chibharo nebhinya anokwanisa kukuvara. Hazvirevi kuti bhinya rine chombo chikuru asi kungoti mukadzi anenge asina kunyorova.

Kana wakanyorova chitubu chinotatamuka zvokukwanisa kuoindwa nechombo chero chikurusa, asi zvinoda wakarerusa muviri uye wakanyorova zvakakwana usingatyiswi nukupindwa nechombo chacho. 
Q19
Kune mishonga yechivanhu yekukudza chombo here? 
Mhinduro chaiyo yechokwadi ndeyokuti hakuna mushonga wakadai muchivanhu kana mune chimwe chirudzi. Kana ukatomuwana kasira kundiudza ndikubatsire kuita mabhiriyoni emaUSD emari nokuti vanhu vakamirira kuti kuwanikwe mushonga wakadai vakawandisisa. 
Q20
Kana mukadzi wangu achihura ndingazviziva sei kuti anohura? 
Kuti uzive kuti mukadzi anohura anenge iye atoda kuti uzvizive kuti anohura. Vanhukadzi vanokwanisa kukavhira zviito zvavo kupfuura varume. Ukazoona wobata munhukadzi kuti ari kuhura zvinoreva kuti iye atoda kuti umubate.

Kana uri munhu anongodawo hake kuziva kuti anohura here kana kuti haahuri, fungwa iyoyo kazhinji yabva pakuti iwe unohura asi haudi kuti iye ahurewo. Tsvaka mutikitivha atevere mukadzi wako kwevhiki mbiri akuudze zvese zvinoitika. Kupumha munhu uhure usina kumubata achihura handizvo. 
Q21
Zvinorevei kana murume achiti kuzasi kwemukadzi kwakazara mvura. 
Kana mukadzi akaita zemo, anonyorova zasi kuti kana opinzwa chombo vese murume nomukadzi vosasvuuka. Hino kune varume vanoti kana ane chombo chidikidiki mukadzi wake akanyorova zvakakwana, pakunopinza paya murume haazadzi chitubu chomukadzi saka friction inoita shoma. Murume pane kuti abvume kuti ndiye ane dambdziko, anokasira kupomera mukadzi mhosva asi ndiye apa mukadzi zemo kuti anyorove.

Kana ukaona uchinyatsonyorova chinja paitire amunoita pakupinzana, Vata nedumbu makumbo ari pamwe chete wosimudzira chiuno zvishoma murume opinza. Moita makadaro. 
Q22
Unozviona sei kuti mukadzi anokwirisa. 
Unoti kumukazi, "ndokumbirawozve kukukwira." Kana akati uya ukwire zvoreva kuti anokwirisa. Kana akaramba zvoreva kuti haakwirisi.

Mubvunzo wako hauna musoro zvachose. 
Q23
Kuchemerera pabonde
 kuita sei
Kuchemerera kuti zviya murume achikurhoja, kunaka kwazvinoita kunoita kuti usakwanisa kungonyarara zvichiitika asi kuti unochemachema kuita sokuti zviri kugwadza asi izvo zvichinaka. Kuchemerera i NOISE inoitwa, zvikuru nomunhukadzi pakuvatana. vakaita REASEACH vanoti munhukadzi kana akagadzikana hana anonakigwa kupfuura munhurume. 
Q24
Ko kana une nhumbu chibereko chinobudisa tsvina here (mkuenda kumwedzi)
Kana wabata mimba zvoreva kuti hauchaendi kumwedzi kuzvika wazvara mwana. Kumwedzi kunoitiswa nokuti wakandira zai rikashaya urume hwekuiribatsira kutanga kugadzira mwana muchibereko. Ndizvo chibereko chiya change chagadzirira kuchengeta mwana chinobva chato bhowekana nazvo choramwa zvese zvachanga chagadzira kuti mwana azokuriramo.  Ndizvo zvinobuda zvava ropa rokumwedzi. Ukafunga kuti une mimba, ukazoona woenda kudzi, ziva kuti hauna mimba.
Q25 
Munhukadzi anobvumidzwa kubata chombo chomurume here pakuvatana? 
Ndizvo chaizvo zvaunotobvumidzwa kuita sezvaanongobvumidzwawo kukubata pamberi pako achitotamba napo. Iwe tambawo nechombo chake. Chinhu chinonakidza chose kutamba nacho nokuda kwemaitire acho anotoshamisawo hawo.

Asi kana uchipinda Chechi yeChitawara havadi kuti mubatane pamberi kana kuita zvokupanana zemo muchipurudzirana magaro kana kusvetana mazamu, kana kuratidzana pamberi. Vanongoti mukadzi ngaavhurire murume, murume opinza, mokweshana zvopera. Havadi kuti munakigwe nazvo.
Q26
Ko kana mukomana andisinei naye akandibata mazamu ndoita sei? 
Mukomana wausinei naye akakubata mazamu unofanira kukasira kuudza mapurisa asungwe nokuti hazvibvumidzwi pamutemo wenyika zhinji. Mukomana haafaniri kukubata mazamu, magaro, kana muviri wako kuzhe kwekuti achiita FIRST AID paita accident. 
Q27
Ko chinonzi kutunda kwemukadzi pakusvirwa nomurume kuita sei. ?

Handina kumbozviitawo asi ndava nemwedzi mitatu ndaroorwa. Zvinoitwa sei?

Chii chingakonzera kuti ndisatunda? 
Pavakadzi vakawanda vara rokuti kutunda haribatsiri hwisiso yedu nokuti ivara rakabva kuvarume. Murume anohi atunda kana aburitsira urume mukati mechitubu chomukadzi atunda urume.  Pakutunda uku anonakigwa chose nazvo.

Mukadzi anonakigwa chose kana akapinzwa chombo akakoigwa nomurume chombo chichikwiza madziro echitubu zvinova zvinonaka. Asi panosvika nguva yaanonatsonakigwa zvakapfuuridza zvokuti kana kufema chaiko anombotadza. Kanguva aka kanoita kuda miniti imwe chete. Mukadzi anoshaya CONTROL yomuviri wake, zvinonaka, nokutyisa nokuvhundusa zvese pamwe chete.

Zvadaro anohi atunda asi hapana chinenge chatundwa chaicho. Vashomanana vanobuda mvura muchitubu inototiwo tsaaa tsaa seweti asi isingabudi muburi reweti.

Pachirungu kutunda kwemukadzi kunohi ORGASM kana kuti CLIMAX kana kuti PEAK. Zviri nani udzidzire kuita ORGASM asi zviri nyore kuzviitisa nokuzvikwiza bhinzi nemaoko pane kuitiswa nokuiswa nomurume.

Kana iwe muridzi usina kuzvidzidzisa kutunda zvinonetsa kuti utundiswe nokuiswa nomurume. Mhomho yese yevakadzi yauri kuona 30% chete ndivo vanogarotunda. Vamwe ava kuti atunde anoti paya avata nomurume, murume anokasira kupedza iye asina iye ozvipedzisa nemaoko.
Q28
Ndingaitawo sei. ndiri rovha uye murume wangu haana hanya neni zvachose
Kuva rovha kana kuti munhu aingashandi hazvichaiti mazuvano kana uri mukadzi/murume wemunhu. Unofanira kuwana chimwe chinhu chaunoita uchiwana mari chero mari yacho iri shoma hayo unofanira kuita.

Kushandira umwe munhu kunonetsa. Kuzvishandira kuri nani chose. Mabasa aunokwanisa kuita akawandisa. Kana usingahwisisi nditumira mwadhi kukero yangu inoti maichibwe@yahoo.co.uk
Q29
Vakuru vemusha wedu vari kuti mudzimu uri kuda kutaura pandiri. Zvinorevei? 
Kuhi mudzimu unotaura pamunhu, zvinotaugwa nevanhu vava chembere vaya vanenge vaperegwa nokugwara kwemwana nechigwere chinohi pachirungu MENTAL ILLNESS. Kwedu kuvanhu vatema hatidi kungobvuma kuti mwana aita MENTAL ILLNESS pasina chikonzero chinoonekwa, saka tinonotsvaka zvikonzero kuvanhu vanonyeberawo kuti vanoziva.

Kana pane zvinoitika pauri zvaunoziva iwe, kasira kundorapwa nevarapi wovaudza zvese zviri kuitika voongorora zvakanaka wopiwa mishonga. Wotarisazve kuti muupenyu hako hauna STRESS pane imwe nyaya iri kukudya moyo. Kana kuti hausi kumwa imwe mishonga yausinanatsi kuhwisisa kuti inorapa chii. Ndinyorere nyaya yese titaure nokuti unokwanisa kutozokanganisika fungwa zvachose.  Hakuna chinhu chinohi mdzimu. Kana munhu afa atofa haachakwanisizve kutaura nevapenyu chore tikada zvakadii kuti ataure nesu. Usaudzwa nhema navanhu. 
Q30 
Kurambidza mukadzi kushanda kwakanaka here? 
Kune varume vasina CONFIDENCE pazviito zvevakadzi vavo. vanoona sokuti mukadzi akangobuda mumba ava kutohura. Zvinobva pakuziva kuti haasi kugutsa mukadzi mumba uye haazivi kuti oita sei panyaya yacho. Saka anopedzisira ava munhu anochengera mukadzi asi ipapo mukadzi hapana chaaita chakashata.

Vakadzi vakawandisa vanoshandira mhuri dzavo uye vanofarira varume vavo kana pasina zvakaipa zvinoitwa nomurume. Asi murume anoda kupiwa confidence nomukadzi wake kuti agadzikane hana. Ukaona murume achikurambidza kushanda haisi nyaya yekuti haadi kuti ushande asi kuti inyaya yekuti haazozivi kwauri nguva dzese. Munhu anofunga kuti mukadzi munhu anoda SUPERVISION kuti asahura.

Koitazve murume anoda kuti ushande asi usingazotambiri mari yakapfuura yake. Kufunga kuti unozofunga kuti ndiwe wava murume wobva wamudherera. Murume akadai zviri nani kungosiyana naye nokuti uchaitazve mamwe matambudziko. 
Q31
Zvakanaka here kukwesha nhova?
Zvakaipisisa. Unokwanisa kuuraya mwana wako. Nhova hachisi chigwere. Nhova inoonekwa pamwana ari mucheche kana mabhonzo emumusoro wake asati asimba. Mwana anozvagwa akadai kuti musoro wake usanetseka kubuda nomuchitubu.

Zvadaro ukaona nhova yakaita gomba kana kuti ichitambatamba, zvinoreva kuti mwana ari kuda mvura yokumwa kana kuti mukaka. zvinoitiswa ne DEHYDRATION. Mwana haakwanisi kutaura kuti ari kuda mvura saka tinoona nemaitire enhova.

Usarapa nhova zvachose. unokuvadza mwana. Kune vana vakawanda chose vanofa nokuti madzimai avo havahwisisi nyaya yenhova. 
Q32
Bonde munhu uchangobva kuzvara tinotanga kwapera nguva yakadii? 
Verenga pakahi "Mimba yokutanga"  uhwisise zvakanaka kuti munodzokera pabasa riini uye kuti unokwanisa kuita mimba here.
Zvinoda munatse kuzvihwisisa mese. 
Q33
Mhandara musikana akaita seiko? 
Mhandara musikana asina kumbovata nomurume. Hazvina basa kuti ane makore mangani. Vamwe vanotanga kuvata nevarume vari vanana (14-18) vamwewo vanotanga vava vanhu vabva zera, (18-25) Kozoita vamwe vanomirira kusvika vawanikwa. Koitazve vamwe vanopfuura makore 30. Hapana chakaipa asi kungoti ukatanga makore ari pasi be 18 muviri wako unenge usina kupera kukura saka zvinokonzera cancer yechibereko kukasirisa kutanga kuvata nevarume. 
Q34
Zvinoita here kugara nomurume asina kupedza kuoora? 
Zvinoita chose chose. Kuroora hakufaniri kupedzwa nokukasira. Chinobviswa imombe youmai chete inova inobvisigwa kuti muwane mvumo yokuvata mese uye kuhi mava murume nomukadzi. Kana mombe youmai yagamuchigwa wava mukadzi wemunhu wava nemvumo yokuti unokwanisa kuti murume akauya kumba kwenyu vabereki vanokupaimba yokuvata naye. Mukaenda kwake ndizvozvo futi. 
Q35
Kuchemerera kwemukadzi pabonde kunorevei? 
Kuchemerera kunoreva kuti mukadzi ari kunakigwa nezviri kuitika pakuvatana kwenyu. Vanhukadzi kazhinji vanonkigwa kupfuura varume, ndoosaka vasingakwanisi kungonyarara, zvikuru kana zvikatora nguva muchikoirana. Vanhukadzi vanoda nguva yakareba muchikoirana toti kupfuura maminitsi 10.

Q36Ndibatsireiwo veduwe. Ndine dambudziko rokuti ndinoda kusvirwa nomurume wangu kakawanda zuva nezuva asi iye ari kuzvitadza.

Akaita kaviri pazuva oramba kuwerdzera. Vamwe munozviitawo sei nokuti ini zviri kundiremera. Ndinoda kakawanda. 
Hazviiti kuti varume vakwanise kuvata nevakazi vavo kakawanda mazuva ese. Panoitawo umwe musi waanozviita asi kwete mazuva ese. Kana achitokwanisa kaviri pazuva ari kugona basa chose asi chionai kuti pakuita ipapo wagutswa nazvo. Akatora nguva refu muchikoirana asina kukupa urume unokwanisa kunakigwawo kusvika pakuguta

Zvinokwanisika kuti pamuri kuita unosara une zemo zvinoreva kuti unokasirazve kuda kuvata naye. Pavanhukadzi vakawanda murume anokwanisa kaviri pazuva anotowonekwa somurume anogona asi zvichibva pakuti pamunoita mukadzi anogutawo.

Wanai mazano okuti udzidzise murume kukutundisa nemaoko. Mutaridze kuti angaita sei pabhinzi yako zvaunoita iwe kana uri wega. Kana azvigona izvozvo wopota uchimukudzira kuti agaroita. 
Q37Ko chii chinoita kuti chombo chimire? Chinoita kuti chombo chimire kana murume ane zemo ndicho chimwe chete chinoitisa kuti pamweri pemukadzi pazvimbirire kana mukadzi ane zemo.
Zemo rinotangira mufungwa. Fungwa ikangofunga chimwe chinhu chakarerekera pane zvokuvatana, unokwanisa kuita zemo muviri wese asi kungoti kuzasi ndiko kunoonekwa kuti pane zviri kuitika. Kwemungukadzi kunzozvimbirira uye anohwa kushosha nokunyorova. Bhinzi inokura yokira sezvinongoita zvombo chomurume. Mazamu anomira minatso. Murumewo anomira chombo

Zvese zvokumira zvinoitiswa neropa rinoti ukaita zemo romhanya rondozadza tsinga dzakawanda dziri pamberi. 
Q38Zvinoita here kuti ndivate nomukadzi wasekuru vangu. Mukadzi wenhaka? Kana sekuru vafa, pamutemo wechikaranga, unokwanisa kutaurirana nambuya vako moroorana mogara mese zvegugara nhaka. Kana sekuru vari vapenyu, hazviiti kuhura nambuya.

Pamutemo wemazuvano, hazviiti kutora mukadzi wafigwa nomurume kana usingazivi kuti chauraya murume wacho chii. Usati wavata nambuya vako endai mese kundotesitwa moudzwa pamuri. Kana muri vatsvene moronga yokuroorana.

Tichiongorora tichiona kuti iwe uri munhu anofaririra kuvata nevakadzi vevanhu, zvinokwanisika kuti iwe une chigwere saka unofanira kutesitwa nguva nenguva. Unofanira kushandisa makondhomu.
Q39Murume anopedzisira kuvata nomukadzi anemimba riini?

Mukadzi wangu ane mimba asi tichiri kungovatana.
Hapana nguva yokuti ungati hazvichaiti kuvata nomukadzi ane mimba. Zvinoita kuvatana mwana oda kuzvagwa chero kwasara zuva rimwe chete. Zvinongobva nokuti iye mukadzi wako anohwa sei nokuti pamwe zvinonetsa kuvata nomurume kana mimba yakurisa.

Chinhu chaunofanira kuhwisisa ndchokuti kana mukadza akanatso kunakigwa akaita ORGASM anokwanisa kutanga kuzvara. Saka kana mazuva ava pedo, itai henyu asi mohwisisa kuti zvokuvatana zvinokwanisa kuti mukadzi azvare mwana.

Vanambuya vanogamuchira mwana vairipisa murume kana vaona urume panozvagwa mwana kureva kuti nyakuzvara ange avata nomurume madeko. Saka vakawanda vanovatana mukadzi ane mia yakurisa. Hapana chakaipa. Vamwe vakadzi vanotoshusha murume kusvika abvuma kuvata naye. 
Q40Panoita nguva yokuti ndichirega kuvata nomurume here nokuda kwezera, kuti ndava munhu mukuru?Hakuna zera rokuti ungati hazvichaiti kuvata nomurume. Vanhu vakawandisa vava vanhu vakuru vanongovatana vachingonakigwa zvakangodara. Chinongonetsa munhukadzi ava mukuru ndechokuti anokwanisa kutora nguva kuti anyorove kuzasi kuti murume apinze chombo zviri nyore.

Asi somunhu mukuru hausvodi kuudza murume kuti hauna kunyorova saka ngaambowedzera kutamba nezvinhu makamirira. Iwewo mukadzi kutamawo nomurume sokuti kupurudzira chombo kuti chinatse kumira uye kufunga kuti chichakupa mufaro. Fungwa ndidzo dzinonyorovesa zasi.

Kana pasina kunatsonyorova murume anokwanisa kushandisa mate emumuromo kupfita pamuromo wechitubu asati apinza chombo. Mukadziwo kana achida kutanga asveta chombo kuti chinyorove anoita. Iko kusveta chombo kunowezeresa kunyorova zasi, uye kunowedzera kumra kwechombo.

Kune vakawanda vanovatana vava nemakore anopfuura 70 kana 80.
Munhukadzi anogarovata nomurume haakasiri kuchembera. uye haana dambudziko kuzasi. Vana mbuya naanasekuru vanotogaroisana chose asi kungoti pamwe vanoita kamwe chete pavhiki.
Q41Ko sei mukadzi achibuda
mvura pakusvirwa?
Mubvunzo wako ndiwo hawo. Munhukadzi wese kana akaita zemo anonyorova mukati mechitubu chake kusvika pakusinira zvinoonekwa nokunyorovesa bhurugwa. Kana akaita zemo chero ari kubasa anotonyorova zvokuti pamwe anofanira kutochinja bhurugwa nokuti zvinoitisawo hwema hunokwanisa kunhuwidzwa navamwe.

Kunyorova uku haisi mvura asi i oiri yakatsetseka chose zvokuti inoerera semvura. Kana fungwa ikangofunga kuti pano pangangoita chombo chinopinza muchitubu changu, chitubu chotogadzirira kupindwa, chozara oiri iya kuti pamunovatana musasvuuka pakukwizirana.

Murumewo kana ukamupurudzira chombo uchitamba nacho chimire unoona pobuda madomhwe eoiri yakatsetseka kupfuura mafuta e FACE cream. inonakidza kuzora pamimwe. Uku kuitirazve kuti pamunoisana musasvuuka.

Murume anoziva nezvevakadzi anomirira mukadzi onyorova ozopinza chomo. Kana ukapinza mukadzi asina kunyorova zvinogwadza mukadzi. Ndoosaka kubatwa RAPE kuchikuvadza mukazi. 
Q42Matinji emukadzi akaita seiAkada kuita semapapiro echipembenene toti rimwe bapiro uku rimwe uko buri pakati. Vamwe vana matinji makuru vamwe madiki vamwe akareba zvokutorembere, vamwewo madiki zvokuti haaonekwi kuzhe kwechitubu asi ukabhenengura maromo echituu unomaona.

Vakadzi vakasiyana siyana sezvakangoitawo varume. Vamwe vane bhinzi hombe vamwe diki.  Matinji anozvimbirira nokunyorova kana muridzi ane zemo. bakubata anotsvedza. Anofarira kubatwa batwa. Kana waita zemo murume akakubatabata zvinonaka
Q43Ukasamwa mapiritsi e HIV kwemwedzi wese chii chingaitika? Kana une HIV ukapiwa mapiritsi okumwa unofanira kuamwa nokuti ndiwo mushonga wacho. Kana ukasaamwa unokwanisa kubata zvigwere zvakawanda nokuti RESISTANCE yako inenge yakaderera. 
Q44Mukadzi wangu anoda kuswirwa mazuva ese. Ndoitawo sei? Vamwe munoita sei? Terera mukadzi wako nokuti ndiye anoziva zvaanoda. Isu hapana chatinokwanisa kutaura pazviri. Chii chauri kubvunzira mubvunzo uyu. Wakaroora wega mukadzi wako. Mukadzi asvika akataura zvaanoda kuti umuite. Chaipa chii ipapo. Vanhu vakawandisa vanovatana mazuva ese. Terera mukadzi wako. 
Q45Zvinoita here kuti murume anditundire muchibereko? Hazviiti. Chibereko chiri kure kusingakwanisi kusvikwa nechombo, uyezve hachina mukova unokwana chombo. Chombo chinogumira muchitubu, (mheche). Imomo chinosiya urume. Urume hunoziva kwekuenda nako kupinda muchibereko. Usaita hanya nokuti hunopinda sei. Hazvinei newe izvo. Chako kungopinzwa chombo muchitubu wopiwa urume. Wozoerekana wava nemimba.  
Q46Ndoitawo sei. Murume wango anofarira kundisvira ndakafongora. Ini ndotya kusura. Kusura hakunei kuti wakafonora kana kuti wakavata sei. Munhu wese anosura. Hakuna murume ane basa nokusura kana ava pakati pekurhojana nomukadzi wake. Iye anotosurawo futi. Uri kungozvinetsa nenyaya isina maturo. Fongora wakasununguka unakigwe nomurume wako. 
Q47Chii chinoitwa kumurume pabonde? Murume anobvisigwa bhurugwa, Omwiswa mazamu, oudzwa kuti isa ruoko pamberi apa ukwenyerere, okiswa, oswetwa chombo, opurudzigwa chombo kusvika chamira, opfekedzwa kondhomu, ovhurigwa makumbo,  Ihi pinza chombo apa, oitigwa chikapa kusvika abuda urume. obviswa kondhomu, opukutwa chombo nepamberi. Oregedzwa omboita hope. Omutswa otangwa futi. 
Q48Chii chinoita kuti munhukadzi anakirwe pabonde. Kunakigwa komunhukadzi kwakasiyana nekwemunhurume uye kunobva pane zvakawanda zvinoti:
1 Maonere aanoita murume ari kumurhoja. Kana achimuda zvomoyo anonakigwa zvakawanda nokuti munhukadzi ane fungwa dzokuti kuiswa ndekwerudo.

2 Maitire avari kuita. Kana achifubga kuti maitire awa ndeemusikahwa anonakigwa zvakawedzera.

3 Makoirigwe aari kuitwa. Murume kana akapota achikoira akaruramsa mberi oitazve zvokukurungira osiyanisazve sipidhi dzake oti akawanza omboderedza, zvinowedzera kunaka.

4 Kotizve kana mukadzi achiziva paamire pamusoro pemimba sokuti anoda mimba here kana kwete uye ari kuda urume here kana kwete.

5 Kotizve murume akamunonokera kumupa urume zvinowedzera chose kunaka.

6 Kotizve murume ane urume hwakawanda anonaka kupfuura ane ushoma, kana wange wagara uchiziva kuti anowanza. Ukamutarisa kumeso kwake panguva yaanokupa urume unongohwa wega uchida kumuwedzera chikapa nokumubatirira. zvinofadza moyo. 
Q49Chii chinonzi mhata Buri rinobuda netsvina kana waenda kutoireti. vese vakadzi nevarume vane mhata nokuti vese vanoenda kutoireti.
Tarisa mazita nhengo dzomuviri wako apo pakahi "Mamirire akaita mukadzi/murume"
Q50Chiiko chinokonzera munhukadzi katadza kana kunonoka kubata mimba? Verenga nyaya dziri pamaLINK andaisa awa.

Asi chikuru chinokonzera mukadzi kushaya mbereko Ndeizvi:
1 Murume assingabudisi urume hwakakora
2 Mukadzi asina PH balance mukati mechitubu chake zvoreva kuti urume hunofa husati hwasvika kuchibereko
3 Mukadzi achangobva pamapiritsi pasina kupera 18 months.
4 Mukadzi asingakandiri mazai.

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/08/kushayakunonoka-kuita-mbereko.html

http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/murume-asina-urume.html
Q51Chii chandingashandise kudzora nhengo yesikarudzi? Kana usina kumbozvara mwana chitubu chako hachinei nokunetswa. Mamirire achakaita ndiwo mamirire achinofanira kutoita. Ukaona murume achikomburena kuti hamusi kukwizana zvakakwana pakuvatana zvinoreva kuti iye murume wako ane chombo chitete kupfuura zvevakawanda. Chombo chinofanira kukora kupfuura ma CENTIMETER 9. Varume mhomho yese vanopfuura 14 cm.

Kana wazvara mwana verenga pakahi "Kusimbisa masuru" 
Q52Ndiri kudanana nehama yangu yepedo pedo. Zvinoita here kukwirwa nehama? Kana ukangovhura makumbo iyewo akakumisira chombo, zvinhu zviviri izvi hazvirambi kupindana asi kuti kuvata nehama yako zvakangofanana nezvinoita mhuka dzakaita sembwa nemombe. Zvinoratidza kuti hauna njere.

Kozotizve ukaita mimba mwana anokwanisa kuva akaremera zvese mumuviri nomufungwa. Hachisi chinhu chinokurudzigwa uye munyika zhinji zvinotosungisa zvese nokusvodesa. 
Q53Kune mapiritsi okuti ndibate mimba nokukasika here? Ariko hawo asi hazviiti kungonomatenga. Unotonoongorogwa nemadhokotera woiswa papurogiramu yacho. Zvadaro vanokubatsira kubva pakugarira mazai ako kusvika panuzopiwa mapiritsi. Zvisati zvaitika izvi unotanga waongorogwa kuti chiri kukutadzisa kuita mimba chii. Pamwe murume wako haasi kukupa urume hwakakora.

Kune varume vakawanda chose, zvikuru avo vava nemakore anopfuura 40, vane urume hwakaremara zvokuti hahugoni kudhidha kundotsvaka muromo wechibereko kune zai. 
Q54Chii chingaitwe kumukadzi kuti asanyanya kunetsa mumba? Kunetsa mumba kwemukadzi kazhinji kunoonekwa pamaitire ake pazvinhu zvinoti:
1 Kugaropopota,
2 Kufoya murume?
3 Kusada kuvaka musha, kungopedza mari pazvinhu zvisina maturo.
4 Kusaita hanya nezvinhu zvinokudza mhuri.

Zvese izvi zvinoonekwa nomurume akachenjera. Kana murume ari fuza haatombooni kuti pamusha pane dambudziko. Nyaya dzese idzi dzinobva pavanhu vanoroorana zviya zvokutizirana sokuti musikana oita mimba obva atizira mukomana, pasina charongwa pauviri hwavo. Kutizira kunoitika kana mukomana ari munhu asinawo nyere zvokuti anofarira kufambafamba achirhoja vasikana asingashandisi makondomu. Musikana mazuvano ukaona oita mimba, atosarudza kuita mimba.
tine makondhomu, toita mapiritsi emabato akasiyana. toitazve mamwe anoti ukamwa 72 hours dzapera kubva pakuiswa hauiti mimba.

Kuroorana zvokutizira kunoita kuti mutange kuvengana kazhinji saka munogarokonana mumba ndizvo zvinoita kuti mukadzi ahi anonetsa.

Pakadai kuti mukadzi adzikame anofanira kutaridzwa rudo nokugarorhojewa zvinotaridzawo kuti murume anofarira zviri pamukadzi wake. Varume hwisisai kuti chero mukakonana zvakadii nomukadzi wako kana kwasviba umburudzawo mukadzi womurhoja zvinotaridza kuti ndiwe murume mumba. Ukaita unyope apa mukadzi anogaroita nharo newe uye kukudherera. Kurova handiko. Chombo chete ndicho manyaradzamukadzi. 
Q55Kuhura kuita sei? Kuhura kuvata nomunhu wausina kuroorana naye, zvisinei kuti mapanana mari here kana kwete.
1 Kune mahurekadzi anohurira mari.
2 Kune mahurerume anohurira mari nevakadzi.
3 Kune mahurerume anohurira mari nevarume zvechingochani.
4 Kune mahurekadzi anohurira kunakigwa nokuiswa chete
5 Kune mahurekadzi anohi Small House dzevarume vane mhuri
6 Kune mahurerume anohi zvikomba zvevakadzi vane mhuri
7 Kune vasikana vanoona vanamai vavo vachihura vongotevedzerawo.

8 Kune varume vanongoda zvokuvata nevanhukadzi vavanopa zvinhu sokuti kupa munhu basa, kupa munhu Lift, kupamunhu pokugara, etc. Zvese izvi kuhura.

Monday, 27 April 2015

Mazano okuramba kuvata noumwe wako.

Pano ndoda kumbotaura nenyaya dzinoshandiswa mudzimba semazano okurama kurhajana nomukadzi/murume wako mumba asi usingadi kunatsobuda pachena kuti uri kuramba. Vanhu vakawanda chose vanogwadziwa moyo nokuramigwa newawakaroorana naye. Vanonyanyokomburena varume asi chokwadi ndechokuti vakadzi vanorambigwawo asi kuti zvinovasvodesa kutaura kuti murume akaramba kuvata naye. Ukazoona mukadzi otaura kuti murume wake ari kumurambira, nyaya yavo yasvika kwakadzika chose.

Saka tichitarisa marambire acho anoitwa tinoona maramire akaita seawa:
Kuhwa musoro: Kune vakawanda vanoti kana nguva yokunovata yoda kusvika votanga kuhwa musoro. Kazhinji inyaya yokusada kuvatana noumwe wako. Kana uri munhukadzi hwisisa kuti kunatsoiswa nomurume wako zvakanaka zvinopedza kugwadza kwemusoro kuvanhu vanoita 93%  kouta vamwe vashomanana vasina zvinoitika kwavari kozoita vashomashoma vanoitiswa musoro nokuda kwekuiswa.

Kukasira/kunonoka  kunovata: Kune vaya vamwe vanoti kana asingadi zvinhu musi iwoyo anokasira kunovata kuitira kuti umwe wake paanozouya, anenge atobatwa nehope. Izvi zvinoshanda kana une murume mukadzi anoti monovata okumbira. Kana une vaya vanongokusundidzira nokukusimudza gumbo kuti vawane mapinzire, hazvishandi. Unongoiswa zvakadaro. Koitazve vaya vanoiswa vari kuhope.

Kana murume wako akakasira kundovata uchiziva kuti haasi kuda zvinhu musi uyu, funga zvokuita. Unokwanisa kuendavo kunovata kuti akubudire pachena kuti haasi kuda, uye akuudze chikonzero. Kana kuti unozosara wotevera wosvikomupurudzira chombo kuti chimire.

Kuneta: Kuneta kwevakadzi nevarume kwakasiyana pakuitisa kana kushaisa zemo. Mukadzi akaneta anokwanisa kuudza murume wake kuti akaneta saka hapana chaanoita pabasa. Murume ngaaite ega. Hazvinetsi kungovata nedumbu murume okutanyana okirhoja zvinyoronyoro kusvika aguta. Mobva mavata hope. Asi vamwe vedu munhu anenge achida kutaridza murume kuti aneta saka obva aramba kuiswa.

Murumewo kana akaneta, pamwe anotadza kumira chombo. Pamwe anongoti akaneta kuti usamunetsa pazviri. Iwe wega unoona kuti umwe wako akaneta zveshuwa. Kana akaneta asi achida iwe mukadzi kwira murume umbomukoirawo kusvika maguta. Kuneta haisi nyaya huru. Ukaona munhu achingoti napo napo okuudza kuti akaneta, zvinoreva kuti haachadi zvinhu. Kwava kutoramba.

Kuwedzera maSHIFT kubasa: Kune vaya vanoshanda maSHIFT. Zvinokwanisika kuti kana maSHIFT akawanda kubasa munhu ouya kumba oti haadi kuvatana nokuti akaneta. Anenge agara ane fungwa yokusada kuvata newe. Kana uchiziva kuti kubasa kwawanda basa, taura nomurume/mukadzi wako muchinje nguva dzokunovata. Zvokuona TV mombosiyana nazvo.

Kutsamwa: Vakawanda vanonyimana kana vatsamwisana. Pane nyaya mbiri dzinoti mese munotadza kuwana mukana wekukumbirana mese mobva mangoti zii kusvika hope dzabata. Kana uri munhukadzi, usajaidza murume wako kuvhenganisa kutsamwa nezvokuvatana. Kuvatana kuri muCATEGORY yako kwega zvokuti unofanira kuudza murume wako kuti kutsamwa kwake hakunei nokuvatana. Kuvatana kwenyu ndezvokuti muri murume nomukadzi. Kutsamwisana ndezvokuti hamugoni kutaurirana zvakanaka. Tanga imwe nyaya kana murume asingadi kuvatana achiti nokuti akatsamwa. Kushaya njere. Kukonana kwefungwa kwanasiyana nezvido zvemuviri.

Kana iwewo mukadzi ukatsamwira murume tsamwa hako asi fongora murume aite basa. Usavhenganisa nyaya dzisingavhengani. Ndiwe uchazoita dambudziko meri uko kana murume aita fungwa dzokuti zvinokwanisika kushaya rhoji mumba make.

Asi tinohwa vakawanda vachinyimana nokuda kwekutsamwa. Kusahwisisa mamirire eupenyu hwevanhu, uye kuti chii chingaitika kana ukatora zhira yakadai.

Kupomerana mhosva: Kune vanhu vakawanda vasina kunatsogarika mufungwa pamagarire avo pamusha zvokuti akangoona chimwe chinhu chisina maturo ototanga kuunongedzera mumwe kuti waita chokuti nechokuti asi pasina chinangiso chaicho. Munhu akadai anokwanisazve kuda kukupanicha nokukunyima muviri wake kuti unakigwe nawo. Mhosva zhinji dzinopomegwa vanhu ndedzemari, chihure. kusada hama dzake, kusamuterera, uroyi, kana kusageza zvakanaka. Ukahwa nyaya yakadai yatanga mumba mako chiziva kuti nyaya yotevera kunyimwa zvinhu.

Mhosva zhinji dzinoitika mufunwa yomunhu ari kukupomera. Iwewo chiona kuti nyaya yake iri papi uzame kuigadzirisa, kwete kutangawo kupopota kusvika mese mava noubenzi.


Kutya zvigwere: Vakawanda vedu tinotya kubata zvigwere. Kana usina shuwa yokuti umwe wako ange aripi, asi uku usingadizve kumunyima, gara une makondomu mumba moita mutemo wekuti nani kushandisa makondomu pane kushandisa mapiritsi emimba. Zvadaro haupiwa chigwere. Kana wakambobatwa uchihura, kana kuti iye uyu waunaye ari munhu wawakatanga kudanana naye pachihure kuzosvika maroorana, unenge uchiziva mufunwa dzako kuti munhu asingavimbiki. Shandisai makondomu.

Kushaya zemo: Vanhu vese zvavo vanomboita nguva yokuti unoshaira umwe wako zemo zvokuti unoshaya hanya nokuvatana naye. Kana uri munhukadzi wana zano rokuti murume akuise nguva nenguva chero usina zemo. Kana uri munhurume zama kuchinja nuva yakuisana nomukadzi wako. Sokuti kana muchisiisana monovata zama kuti muite mangwanani. Varume vakawanda vanomira chombo mangwanani saka unokwanisa kuti muvatane nguva iyi.

Kujairira kuisana zvinobhowa: Kuti zuva nezuva mongita izvozvo zvimwezvo, chinhu chinoita mubhowekane nokuvatana, zvokuti unozoon umwe asisina hanya nazvo, nyaya yotanga kunetsa. Vanhu potaiwo muchiita zvamusingasiiti kuti nyaya inakidze. Kana muchibhowana unohwa mukadzi achiti murume anobhowa, murumewio achiti mukadzi anobhowa. Ukahwa zvadai ziva kuti mukadzi ndiye anobhowa. Mukadzi ndiye MANAGER wezvokuvatana mumba. Ndiye anofanira kuudza murume kuti zvokungoramba tichiita zvimwezvo zvinobhowa. Dai tambozamawo zvimwe tione kuti zvinodii. Mukadzi haafaniri kumirira kuti murume amuti fongora, vata nedumbu, simudza gumbo, furatira, kwira pamusoro, etc. Iye ega ngaangoita murume atevedzere izvozvo. Kwete kumirira kuudzwa. Iwe mukadzi ndiwe unoziva pane chitubu chako. Unodirei kuti murume akuudzi mapinzigwe achinoita. Mutaridze chitubu apinze zvipere.

Kunyimana mumba: Kunyimana chinhu chakaipisisa. Kana uchida kukasira kuputsa musha wako tevedzera zvokunyimana izvi. Kana uri munhu akachenjera, one kuti unogarovata noumwe wako mese muchiguta.

Kana umwe wako akatango kuonekera zano rokuramba kuisana newe, iwe chikasira kufunga mazano okuzvigadzirisa. Chokutanga kuhwisisana pakutaura. Kana umwe wako achigaroti akaneta, iwe mubatsire pamabasa anomunetesa acho. Zvadaro muitire zvausingachiiti. Unokwanisa kumuisira mvura yokugeza, wobva wanomugezesa womupukuta, zvausinachiiti. Kana pane mabasa aunokwanisa kumubatsira, kasira kumubatsira.

Kna uchionawo kuti zvokuvatana kwenyu zviri kubhowa, wedzera zvokuita kuti zvinakidze. Enda naye kumwe kure nomusha mundoitirako. Hwisisa kuti kuzosvika arambe kuvata newe pane zviri kumudya pamoyo. Hakuna munhu asingagwadziwi nokunyimwa zvinhu nomunhu waanoda waakaroorana naye. Vashomazve vanowana zviri nyore kunyima umwe wake. Saka mese menge muri vanhu vari pasinganakidzi. Zvinoda umwe wenyu ave ane njere dzokukasira kugadzirisa nyaya.

Kunemi vachiri vechidiki, ukaona majaidzana kuti umwe akafunga zvokunyima umwe ongoti zii pazviri, upenyu hwenyu huchakunetsai mberi uko. Vanhu dzidzai kuvatana zvakakwana somurume nomukadzi mumba menyu kuti muite mufaro.

Kana muchida kuwedzera kutaudzana, dzidzai kuti mapedza kuvatana murume anotenda mukadzi wake, mukadziwo otenda murume, moita kanyaya kadikidiki musati mabatwa nehope. KUtaudzwa mapedza kuisana zvinofadza nokuti mese menge makati tonho muviri saka unoterera zviri kutaugwa.

Usada kutsvaka mazano ukurambira umwe wako. Tsvaka mazano okuti zviwedzere kunakira mese.


Saka todii kuti tisanyimana mudzimba:
1 Jairira kuti pakaita nyaya mumba menyu mokasira kuigadzirisa kuti musaita nuva makatsamwisana
2 Kana nyaya yagadziriswa ikapera chikasirai kudzokera panguva yakanaka. Usada kuramba une nyaya iwe wamboti yapera.
3 Zemo rinobva mufungwa dzako iwe kwete kuti umwe wako anokupa zemo. Iwe pachako jaira kugara uchipota uchifunga zvokuita pamukadzi/murume wako. Mifungo yakadai ndiyo inokupa zemo. Jairazve kugaroudza umwe wako maitire amakamboita ukanakidzwa nazvo.

4 Garofunga maitire matsva ukozama kuita amusina kumboita. ita chimwe chinhu chitsva kamwe chete pamwedzi chinobata umwe wako akarivara. Sokuti kumuwana achigeza wototanga kumubata bata pamberi mubhavhu, wopinda wogeza naye womumisa chombo., Kumutsa murume kumuudza kuti uri kuda kuiswa. Kufumoudza murume kuti warota achikuisira mugomo rokwanhingi.

5 Ita tsika yokuudza murume kuti akaita ichi kana icho unopa zvinhu paanongopedza. Sokuti "enda unotenga muriwo kumagirosa" Akati haadi woti "ukaenda ndokubvisira bhurugwa paunodzoka."  Achingodzoka iwewo chibvisa bhurugwa. Mapedza kuisana simuka ubike muriwo womusiya akambozorora. Mangwana ukamuporomisa haarambi.  Izvi zvinoita muita nguva dzakasiyana uye maitire anopa zemo.

6 Endai musango, mumunda, mugadheni, mumota, Ukaona nzvimbo isingasvikwi nevanhu, kwezva murume wako muendeko moitira ikoko.

7 Usajaira kugaropopota mumba. Kupopota kunoderedza CONFIDENCE youmwe wako kukuudza zvaanoda. Kana wambopopota ukaona kuti haana mufaro. Muudze kuti akutsamwisa asi uchamupanicha pakunovata saka ngaatogadzirira, uye kana akaita zvinogutsa nyaya yapera. Mava kunovata muudze kuti ari papanichi saka zvoitwa sei. Usarega achivata musina kuisana nokuti mangwana anomuka nyaya yakangodaro. Mangoisana chimuudza kuti agona basa uye panichi yapera. Iyewo akazokupanicha umwe musi chibvuma kupanichwa.

8 Kana ukakumbira kuvata naye iye akaramba chazvo izvo tanga kuzvibatabata iye aripo Varume zvinovanetsa kuhwa uchizvibatabata agotadza kumira chombo. Varume vanofanirazve kugaroudzwa kuti chero paadira ngaataure anobvumidzwa. Ndizvo tichikurudzira kuti usanyima murume nokuti anoita PSYCHOLOGICAL ISSUES dzisingagadziriki nokukasira. Murume ngaazive kuti paamirira chombo iwe unomubvumira.

Kuvanhukadzi, kuiswa kunotaridza rudo. Imi varume hwisisai kuti ukaramba kuvata nomukadzi wako zvinotaridza kuti haumudi. Kna wakaneta rega iye akukwire. Iwe misa chombo chete akwanise kukukwira. Kwete kurama kumuisa iye achitaridza zemo.

9 Nyaya yokupesa nokuda kwema SHift. Kana musina vana pfigiranai mumba paweekend muite nguva yokungofadzana chete. Kana mune vana tsvakai anokucheneterai vana kwezuva rimwe chete ramunosanganga pavhiki. Mopedzerana shungu dzese ipapo. Asi chokwadi ndechokuti kushanda musingagorosangana hakubatsiri chinhu. Vanhu vakaroorana munofanira kuita nguva yokuvatana yakakwana. Zvinoderedza BP, zvoderedza hasha, zvoderedza kufunganya, zvokurudzira kuvimbana.  Munhu anotaridza kuda kuisana noumwe wake munhu anoonekwa ari akavimbika kupfuura asina hanya nazvo.


Kana usisadi munhu, siyana naye ugare wega hana yakadzikama. Kugara nomunhu wausingadi kuvata naye zvinokuitisai BP nokufunganya uye zvinowedzera kuhurirana zvinoreva kuti nyaya dzenyu dzotowanda. Saya ugare wega.


Wedzerai vanowedzera.

Udzai Vamwe!!!!!!





Saturday, 18 April 2015

Murume anoramba mukadzi anoshanda

Nyaya iyi yakaitika gore ra 2014 mu UK kuvanhu vaviri vakaroorana makore gumi nerimwe. Vaionekwa kuti vane mufaro pakati pavo nemhuri yavo kusvika saimba vava kuita somunhu asiri wepama pavo.

Nyaya yakaitika inoti iyo murume akaramba mukadzi anoshanda nokuti iye ange asingashandi. Mukadzi ndokuenda kuna sekuru vemurume vanogara muno kuti vazame kutaura nomuzukuru wavo. Sekuru nambuya nomunun’una wemurume (mwana wekwababamunini vake), ndokuungana kuita dare nemhuri kuti vabvumnzanise murume nomukadzi wake.

Pakubvunzwa nedare remhuri, murume otaura kuti mukadzi haamutereri. Sekuru vanobvunza kuti chii chawakamuudza akasakuterera? Iye anogumira pokuti pese pese, osataura kana chinhu chimwe chete chaangati haana kuteregwa nomukadzi. Murume anobvunzwa kuti achiri kuda mukadzi here, dai isiri nyaya yokuterera kwake? Iye oti mukadzi pari zvino haachadi nokuti haadi munhu asingatereri. Anobvumzwazve kuti ko pakuita vana vatatu naye aikuterera here? Kwahi aiterera. Saka zvakatanga riini kuti haachatereri? Zvikahi zvakatanga murume pakapera basa rake.

Murume aishanda basa rekanzuru achidhiraivha zvitarakita zvinocheka uswa muma PARK kana kugadziridza miti nemaruva emumaPark. Kwakazoti kanzuru iya shota mari ndokuudza vanhu kuti mabasa hakuchina. Nhamo ndokutanga mumba. Ndipo murume akazoona kuti mukadzi haamutereri.

Murume otaurazve kuti mukadzi wake haachadi kuvata naye kubva paakasiya basa. Ari kuti tanga wawana basa tozovata tose kana uchida zvokuvatana. Kwahi anoti ndisuke ndiro nokutsvara mumba zvinova zvinotaridza kuti anondidherera nokuti handichashandi. Izvi zvakabva pakuhi nomukadzi nyorera mabasa awa neawa. Haana kuzvifarira. Akaona sokuti mukadzi ari kumushusha chikonzero chichibva pbasa. Mukadzi ava kuda kuzviita murume mumba nokuti iye anoshanda.

Pakubvunzwa nedare remhuri mukadzi anoti iye anoterera murume wake chose uye anomuda, asi murume haadi kutsvaka basa. Anoswera akagara mumba achiona TV. Mukadzi anouya nemanyuzipepa akanyogwa mabasa ariko, kuti murume anyorere mabasa awa asi murume hapana chaanoita.

Dare rinobvunza kuti Seiko mukadzi achiuya nemapepa, murume haagoni kunozvitsvakira mapepa acho here? Mukadzi anoti murume haadi kunotsvaka mabasa saka afunga kumuunzira mapepa ane mabasa.

Ko panyaya yokuvatana Seiko iwe mukadzi usingadi kuvata nomurume wako? Mukadzi anopindura achiti, anoda kuvata nomurume wake chose asi kuti murume ane dambudziko rokuti haachakwanisi zvinhu. Pakubvunzurudza mukadzi anoti murume haamiri chombo. Otaurazve kuti akamukumbira kuti andoona doctor asi murume haadi kuenda.  Kwahi ndinomuti uya tivate asi iye haagoni.

Ko panyaya yokusuka ndiro nokutsvaira mumba chii chiri kuitika? Murume wako ataura kuti unomuti asuke ndiro nokutsvaira mumba. Ndizvo here? Mukadzi akatsanangura kuti handizvo. Asi kuti pakabuda murume basa, iye akawedzera kushanda saka anopota achimboshanda usiku kuti mari ikwane. Pabasa rake rounesi, zvinoita kuti ushande mabasa maviri. Kwahi pakushanda apa ndakakumbirawo rubatsiro kumurume kuti paanoswera pamba awanewo nguva yokusuka ndiro nokutsvaira mumba, nokumbisa nhumbi mumuchini wokuwacha nokudziisa mumuchina wokuomesa. Basa rinowandisa pamazuva andinoshanda mabasa maviri.

Pakuona kwako murume sei achiti haumutereri zvinobva papi? Mukadzi akati haazivi asi kuti anoziva kuti anoda murume wake. Zvinomugwadza moyo kuti murume haachamudi. Hapana chaasingadi kuitira murume wake.
_____________________________________________________

Dare rakabvumirana kuti vaviri ava vamboenda kuCOUNSELLING. Mukadzi ndiye anoshanda. Akabhadhara mari inoita 60 Pounds (90 USD) pa awa imwe neimwe vaenda mwedzi mitatu yese kamwe chete pavhiki. Vakabvumirana kudzokerana.

ZVAKAZOBUDAPO:
Mukadzi
1 Mukadzi aitya kuti mari haizokwani saka oisa puresha pamurume kuti awane basa.
2 Mukadzi paakaona kuti murume zvava kumunetsa akatya kuputsika kwemba ndokutanda kuisa puresha pamurume kuti avate naye achifunga kuti ndizvo zviri kunetsa murume.  
3 Mukadzi akaonekwa kuti anoda murumwe wake chose chose.


Murume:
1 Murume akaonekwa kuti paakasiya basa, range ajaira, akafunga kuti haakwanisi kuwana rimwe basa somunhu ange achiita basa risina kosi. Nokudaro haana kuhwisisa kuti sei mukadzi wake achimuti anyorere mabasa aanoziva kuti haamawani.

2 Pakunovata murume anga ane kufunganya kwakaita kuti asaita zemo zvokuti mukadzi paaida kuvatwa naye murume zvaitomutyisa zvokuti ainetseka kuita zemo zvachose.

3 Murume paakakumbigwa kuti asuke ndiro akaona sokuti mukadzi ava kuda kumuita mukadzi wake. Zvakamukanganisa fungwa kusvika pakuona sokuti mukadzi ava kuda kumutonga mumba, iri nyaya yokuti haachasevenzi.

4 Murume akatanga kufunga kuti kudzidza kwemukadzi kumupfuura ndiro dambudziko riripo ndokufunga kuti zviri nani vasiyane. Zvakamunetsa kutsanangura mafungire ake ndokubva angoti haachadi mukadzi.

5 Zvakamutorera nguva kuhwisisa kuti mukadzi wake anoda murume wake chose uye haana basa nokuti akadzidza kumupfuura. Aitodawo kuti murume akasire kuwana basa.


Nyaya dikidiki yokuti munhu ahi basa hakuchina, yakapotsa yaputsa muchato wevanhu vave nevana vatatu uye vanodanana. Zvinoonekwa kuti dai vaive vanhu vane nguva yokunatsotaurirana vachihwisisana, havaizosvika pakunokokana nehama idzodzo shoma dzavanadzo mu UK, uye kupedza mari iyo mumba iri shoma, kutsvaka kugadzirisa nyaya yavo.

Ikozvino vaviri ava vanokwanisa kutaura nyaya yavo vachitsanangura kusahwisisa kwavakaita pakupindwa nedambudziko ravo mumusha. Nyaya diki inokura kusvika yaputsa musha. 


Tikatarisa nyaya dzokurambana kwevanhu tinoona kuti chimwe chezvikonzero ndechokuti mukadzi anodzidza kupfuura murume, murume otadza kuzvigamuchira ofunga kusiya mukadzi, asingahwisisi kuti mukadzi ari kuzviitira mhuri yavo vese nomurume nevana. Kutozoudzwa kuti hauchadiwi zvonogumbura chose. 

Varume vedu vechivanhu havadi kuti mukadzi aonekwe pazvinhu zvinoti:
1 Mukadzi anoshanda iye murume asinashandi
2 Mukadzi anotambira mari yakawanda kupfuura murume
3 Mukadzi akadzidza kupfuura murume
4 Mukadzi akagara pasi murume achibika kana kuita basa remumba
5 Mukadzi anodhiraivha mota yemhuri murume akagara 
6 Vamwe varume havatodi chose kuti pakurhojana mukadzi ova pamusoro pemuume. 

Isu vakadzi voruzhinji hatinei nazvo hedu zvachose. Tinenge tichitoti musha wava pari nani nokuti tese tinoshanda tichirera vana vedu. Kana tisina vana tinoshandisa mari yedu pane zvatinoda tese. Ukaona vakadzi vakawanda vakadzidza chose unoonazve kuti vanhu vanogona kuchengeta varume vavo nokuhwisisa zvinotaugwa nomurume muma. Kudzidza hakunei nokuva nomurume. 

Asi ngatisaudzana nhema nokuti kune vamwe vashomanana vanozviona sokuti inyaya mumba zvokuti kune vanoti akatanga kutambira mari inopfuura yomurume anotanga kuda kutonga murume mumba. Bodo, handizvo. Unenge wagara usingadi murume wako zvakakwana. Kana zvakadaro tora hako twako uende kune varume vaunoremekedza. Hazvibatsiri chinhu kugara nomurume wausingapi rukudzo mumba. 

Nyaya dzokudzidza nokutambira mari, nokugona icho kana icho, inyaya dzema SKILL chete. Kana mava mumbashandisa unyanzvi hwako pakuriritira mhuri yako nomurume/mukadzi wako. Pavanhu vaviri pantoti pave noumwe anotamira kupfuura umwe. Hapana chakamboipa pazviri. Murume wako zvaari izvozvo ndizvo zvaari asi mukuru wemusha wenyu chete, zvisiri zvokumanikidzira asi kutozvigamuchira musi wemuchato, kusvika umwe wenyu afa. Musiki akakusika uri munhukadzi ukapiwa njere kuti urarame. Kana shungu dzako dziri pakuti murume adzidze kukupfuura mukurudzire ari mumba womupa nguva yokudzidza. Hwisisazve kuti pane zviitwa zvemumba zvichatadza kuitwa nokuti ari kudzidza.

Murume akatanga kuverenga, uku achishanda, anowedzera STRESS. saka iwe mukadzi wake chiona kuti wamupawo mukana wekupota achobvisa stress iya. Mamwe maitire ekubvisa STRESS kurhojana nomurume wako. Saka wanai nguva yamunoti iyi inguva yedu tiri vaviri. Haisi yokuverenga kana kutamba nevana. Nguva yebvunzo batsira murume wako paunogonera kuti adzidze zviri nyore. Murume ngaagare achiziva pese pese kuti anosapotwa nomukadzi wake. 


Pamwe unoona kuti nguva dzaanoda kukurhoja hadzienderani nedzaunoda kuti akurhoje. Ziva kuti inguva yeSTRESS uye ichapera. Rerusa moyo murudo. Ukamutswa, usapopota asi kuti mutsanangurire kuti kana ada kupinza uvete asatya hake, hapana chakaipa. 

Mukadzi usafungira murume kuti ngaaite zvinhu zvaunoziva kuti haagoni kuita. Sokuti awane basa rine mari yakawanda kupfuura yako. Kana achishanda rega ashande paari ipapo. Unokwanisa kumukurudzira kuti agare achitsvaka mamwe mabasa asi paari ipapo dada naye azive kuti haisi nyaya kuti mari yake ishoma. 

Nfatisazviputsira michato yedu nokuda kwenyaya dzemabasa, dzokudzidza, kana dzokuti ndiani anodhiraivha mota yedu. Musha nemhuri chinhu chikuru kupfuura zvatinoshandisa kuvaka musha wacho. 

UDZAI Vamwe !!!!!!




Tuesday, 14 April 2015

Zemo remuhotera

Veduweeka, kana mune nguva yokumbobva pama nomurume moenda kumwe kure nemusha sokuti mobhuka pa hotera mondovatapo mazuva kana maviri chaiwo muchaona kuti zvinoitikapo zvakasiyana nezvinge zvichizoitika dai muri kumba. Kuvata muhotera kunowedzera zemo renyu mese murume nomukadzi asi ndinoona sokuti mukadzi anopfuura murume pakuwedzera zemo kana musiri pama.

Nyya dzinoitika pama dzinoderedza zemo remunhukadzi dzakawanda, zvikuru kana mune vana. Kana muri vaviri mukadzi anongofunga nyaya dzaokuriritira murume wake. Kuzvivunza kuti ndobikei, Ndosuka ndiro riini? Ndotsvaira muma here? Ndowaridza mubhedha here. Napo napo kubikira murume tii. Kuwacha, kuaina,

Zvese izvi zvinotora fungwa kudzibvisa pane zvokunakidzwa. Pamwe tinoona kuti murume wako anoita sokuti ane zemo rakawanda kukupfuura anongoda kuvata newe pese pese asi iwe usina fungwa nazvo. Hakusi kuti varume vanoda rhoji kupfuura vakadzi bodo. Isu tisi tinotoda chose kuvapfuura. mukadzi ane murume hazviiti kuti asafunga nyaya yokurhojewa nomurume wake, zvichibva pakuziva kuti murume haafaniri kugara ane unga mumabhora ake. Mukadzi wese ane murume anoziva kuti kutapudza unga hwemurume kunoisa FOCUS pamurume kuti agarofunga mukadzi wake, uye kuti asanetseka kumisa chombo. Iko kurhojewawo kuchinaka chose kumukadzi kana murume achihwisisa kukunonokera kana kutanga ambotamba newe.

Asi kana mukangogara pamba, zvikuru pamahoridhei amusingaendi kubasa, uchaona kuti mukadzi pamwe anoneta zvokusada kukwezva murume kuti atapudze unga pakurhojana.

Kana mukakwira mota yenyu mukaenda kuhotera iri kure nomusha, fungwa inoti hapana anokuzivai ikoko hino unhubu hwopinda mufungwa munhu oda kuita zvaasingasiiti muri kumba. Koitazve nyaya yokuti kana muri kure hapana chokuswerofunga kuita saka munopedzesira mangova vaviri pachenyu musina chimwe chokuita fongwa yotanga kufunga zvokunakidzana. Mukadzi anosununguka nokuda kwekushaya mabasa emumba. Murumewo haana chokutama nacho saka anokwezveka zvakanaka opedzisira ava mufungwa iyoyo zvakare.

Varume pano vanouya vachokomburena kuti vakadzi vavo havadi kuwanza kuvhura makumbo. Kukomurena uku kunobva pakusahwisisa kuwanda kwakaita mabasa emumba. Zvikuru kana iye murume asingabatsiri mukadzi nezvamabasa. Tinoona kuti chero mukadzi akazongobvuma kuiswa kwacho, chikapa chinoita chishoma nokuda kwekuneta.

Saka kana mukanovata kuhotera, pane zvakawanda zvinoitikapo zvinosapoka kukwira kwezemo. Chokutanga ndechokuti munowedzera nyaya pauviri hwenyu. Zvinobva pakuti munoona zvinhu zvakawanda zvamusingasioni kana muri kumba, mobva maudzana zvamaona moita nyaya pazviri.
Kuita nyaya kunoita kuti mushamwaridzane sezvamaiita muchiri kunyengana. Zvorerusa hana pakutaura, kunyemwererana, kuseka mese, kuudzana zviri mufungwa. Munhukadzi wese anonyevenuka moyo kana achihwa murume wake achitauri zviri mufungwa dzake.


Pakunodya munonodya makagara patafura yenyu muri vaviri muchionekwa nevamwe. kunesu vanhukadzi kuratidza munhu wese kuti uyu ndiye murume wangu (TERRITORY) zvinopa manyawi. Pakudya ipapo munobvunzana zvamunoda kudya zvisinei kuti pane SELF SERVICE here. Munototi mutaurirane kuti modyei. Mukadziwo anoongorora zvokudya zvinodiwa nomurume wake kuti kana madzokera kumba agozvibika kana zvichibikika.

Kana mukambobuda muhotera manheru sokuti moda kuongorora zvakaita nharaunda yacho, uchaona kuti murume wako anokuchengera (PROTECTION) kuita sokuti uri mwanana, zvichibva nokuti muri kwamusinganatsoziva saka iye oita sa BODY GUARD wako. Pakuchengegwa apa unohwa tumanyawi twokuti paita rudo apa kubva kumurume wako. Unoona kuti pakufama paya unomubata ruoko asi womurega achifamba mberi zvishomanana kuti atungamire kwamuri kuenda. Iko kubatana maoko kwacho kunowedzera fungwa dzezemo.

Madzoka murhumu yenyu uchaona kuti munokasira kundovata asi fungwa isiri pahope. Uchaona kuti une zemo rakawanda kupfuura zvokumba. Munowedzera kutamba mese, Ukada kuemera murume asi womunonotsa kumupinza pamakumbo. Ndiyo nguva yokumudzidzisa kutamba

Iwe wega unongohwa kuti zvakawedzera zvokuda rhoji naye. Mahotera akawanda ane shawa Endai mugeze mese asi iwe gezesa murume wako muviri wese , womupopomesa sipo womukwizirira musana. Wasvika pamagaro wedzera sipo umugezesepo. Magaro evarume akangofanana needu pakuitisa zemo nokuatwa. Gezesa murume wako magaro ake nesipo yakawanga, womupatsanura makumo womugezesa pakati pemagaro. Uchaona kuti haanonoki kumira chombo.

Kana asina kuchekwa, funyungura ganda rechomo umugezese nesipo. Uku shawa iri kudiridza uku uri kuita nyaya naye uku chombo chimire uku uri kuchigezesa. Wega iwe unongohwa muviri wako kuti wazara zemo. Mvira yeshawa iya kusvika kwayo paganda rako kunoitisa zemo futi. Minyatso inotomira yega pasina amboibata. Pota uchitarisa murume mumaziso muchitaurirana nemaziso asi iwe usanyarara kutaura nomuromo. Ramba uchita nyaya. Nokuti une chombo mumaoko usakangamwa kutaura nezvacho. Taura zvinoratidza kuti unofarira zvauri kuita uye zvakaita chombo.

Unokwanisa kutombotaura nacho chomo chacho. "Ko inga manatsomuka nhai Ngara. regai tikugezesei. " uri kutaura nechomo wosimudza musoro wotarisa murume womuudza kuti kuti "nhasi Ngara vane hasha. Kwakanaka here? "  Anoseka hake asi anonyevenuka moyo nokuziva kuti unofarira chombo.

Kana achida kukugezesa rega akugezese. Muvhurire makumo akugezese pamberi. Muudze zvokuita aite. Minyatso hairegi kumira achidaro. Kana uchida kuti aite nguva aripo muudze zvokuita. sokuti atsvake bhinzi, Kana uchida kuti ambomwa zamu muudze amwe, uku mvura iri kunaya uku ari kukugezesa pamberi achitsvaka bhinzi.

Pamunozopedza mukapukutana, mega munongoziva zvokita . Muhotera hamunha mamwe ma RHUMU okuti munoenda. Mubhedha wenyu nezvese zvamunazvo zviri pamwe chete. Kungobuda mushawa muchitonogara pamubhedha. Ramba uchiita nyaya naye. Kwezva murume wako azive kuti unoda kuiswa. Sveta minyatso yake nokupurudzira chombo

Pamunozotanga basa revakuru, wega unozvionera pamhuno sefodya. Uchaonazve kuti kunaka kwacho kwakasiyana nokunaka kwerjoji muri kumba. Uchaonazve kuti mukabatwa nehope mapedza, muchamukirana futi usiku mugoisanazve.

Uchaonazve kuti zvimwe zvinhu zvasingachidi kuita nomurume wako, kana muri kure nomusha unoda kuzviita, iri ngari yokuti unhubu kana muri kure hunowanda. Unoita SENSE OF ADVENTURE. Sokuti kana uri munhu asingagoroda kusveta murume chombo, uchaona kuti akakukurudzira hauoni zvichityisa sezvazvinoita muri kumba. Iyewo ukamukumbira chimwe chaunoda anokupa.

Ratidza chose kuti zverhoj chete chete unozvida asi kungoti kumba mabasa akawanda okuita saka unoshaya sima razvo. Kana ukapepuka murume avete, usamumutsa kuti muvatane, Tanga wamupurudzira chomo kusvika chamira avete wozomumutsa kana kuti uchikwanisa kuchipinza avete pinza azomuka ava mukati mako.

Nguva yokuhotera haiuyi mazuva ese ndiko ine EXCITEMENT yakawanda. Musi wekutanga uchaona kuti unonakirana nomurume wako chose. Mazova kumba fungwa yako inongoona hotera senzvimbo yokunakirana saka umwe musi murume akazikuudza kuti abhuku hotera, wega unotanga kungofunga zvokurhojewa naye.

Varumewo zivai kuti kana pamba pakaita nyaya yausingakwanisi kugadzirisa zvine musoro. Tora mukadzi wako uende naye kukahotera kari kure. Moita weekend muriko. FRIDAY usataura nezvenyaya yenyu.isa fungwa pakuratidza mukadzi wako kuti haana kuvinga sadza nokupopota chete asi pane zvaanofanira kuziva kuti hazviwanikwi kumusha kwavo. Womufadza chose womutaudza nyaya dzakawanda, womuratidza kuti ndiye kwini wako. SATURDAY swerai muchifamafama mu FRESH air asi pota uchiporomisa kumupfidzisazve manheru. Manheru acho chitangai nezvomufaro wozoti aguta wochimuudza kuti unomuda chose uye uchamuda kusvika wafa ndosaka uchikumbirawo kuti achinje maonere aari kuita nyaya yokuti neyokuti.

Kana mukataurirana, mukapedza ratidza kuti anokufadza. Rhojana naye mupedzerane. Mumukire usiku upamhidze makuseni futi.  Uchaona kuti haakangamwi nguva inofadza seiyi. Musi wamunotukana akakutsamwira muyeuchidze chitsidzo cherudo chawakamuudza muri kuhotera.

Muchato wese wese unoda kuti muite nguva dzamunoti mukayeuchidzana nezvakaitikako munohwa mufaro. Mukadzi akatiza akaenda kuvabereki vake unotaura naye pafoni nenguva dzakadai uchimuyeuchidza rudo.

Ko kana usina mari yehotera? 
Hotera dzine marudzi akawanda kunoti dze STAR imwe chete, koita dzembiri, dzenhatu, dzena, dzeshanu. Mari yacho yakasiyanawo.  iwe tsvaka kune mari shoma. Kana uchimwa doro kana kuputa fodya, umborega kwevhiki mbiri uwane kamari kokubhuka hotera.

Kana musina mota, kwirai bhazi muende. Kwirai maKift muende. Chaunoda chete kuratidza mai vemba yako kuti pane nguva yaunokwanisa kuti ndeyavo vega pasina zvimwe zvinokangaidza nguva iyi.

Ukazviita kamwe chete pamakore maviri ega ega, uchaona kuti zvinoshanda, Vanhu vekuno kunyika dzakaita se EUROPE ne America vanohwisisa chose nyaya iyi. Vekwedu vanoihwisisa kana mukadzi wekuenda naye kuhotera ari hure raangosanganawo naro. Zokutora mai vemba zvishoma. Asi shuwa dzidzaiwo kutorana pachenyu. Monodzidzsna zvitsva zvamunoda kuitirana.

Pa Easter apa mwana akaenda kushamwari yake ku Wales isu ndokuenda ku musoro kwe Manchester uko mazuva mana. Bed and Breakfast kusingadhuri.zvinofadza.

Udzai Vamwe!!!!!



Monday, 23 February 2015

Mushonga wevarume kuvakadzi

Pano toda kumbotaura nezvemushonga wekuti varume vakunyenge, vagokuda, vagoita zvaunoda kuti vaite. Kana uri musikana unokwanisa kugarofunga umwe mukomana uye kurota uchivata naye asi zvokuti utsvake mushonga wekuti avate newe zvinoitwa navashomanana. Vakawanda vanoda mushonga werudo, kuti mukomana anohi nhingi andide agondisarudza kubva pakati pevamwe vese vaanoona, agondinyenga,  agozondiroora. Saka pese apa pane mishonga inotsvakwa ndeyokuti imwe neimwe nhanho ifambire mberi.

Kune vakadzi vakuru vakawandisa vanobatsira vechidiki kuwana mishonga iyi. Kozoitazve vakawanda vanoita yokutenga, navamwe vanoudzwa zvokuita kuzvigadzirira mishonga iyi. Mudzimba dzakawanda mune mishonga yakachengetwa inoshanda kuti murume agare zvakanaka nomukadzi.

Mushonga wekuonekwa nevarume
Mushonga uyu unoita kuti musikana aonekwe nevakomana kupfuura zvinoita vamwe vasikana. Zvinoreva kuti musikana anonyengwa nevakomana vakawanda kupfuura vanonyenga vamwe vasikana.

Mushonga wekubvisa munyama kana wanonoka kunyengwa
Uyu ndiwo mushonga unozikamwa nevasikana vakawanda chose. Musikana akaona asvika makore ari pamusoro pe 25 asina amukumbira kumuroora, yave nguva yokutsvaka rubatsiro kubva kune vamwe. Kuti munhukadzi akadai atangezve kunyengwa anotanga abvisa munyama, zvoreva kuti vakomana vanotangazve kumunyenga. Mushona wemunyama kazhinji unoiswa mumvura yokugeza. Musikana akageza nemvura iyi kwenguva munyama unopera obva atanga kunyengwa. Nyaya yake yofambira mberi. Pane imwe nguva vabereki chaivo vanotora mwana wavo voenda naye kunopia mushonga wekubvisa munyama.


Mushonga wekuchengetedza mukomana
Kune vanoti akanyengwa haakwanisi kugara nomukomana wake kwenguva asina kurambwa. Pakadai panodiwa mushonga wekuchengetedza mukomana, unova mushonga werudo. Kune vasikana vanonyengwa nevakomana vakawandisa asi kunongopera kanguva kadikidiki obva arambwa. Kutya kuramba chinhu chikuru chose kuvasikana, zvikuru kana musikana ava munhu mukuru uye kana ane tsika yokuti akadanana nomukomana ogaromuvhurira makumbo. Pakurambwa anofunga zvvakawanda pamusoro pezvinozikamwa nomukomana uyu.

Kana musikana ari mhandara zviri nani pakurambwa. Zvinogwadza moyo asi hazvifanani nokurambwa nomukomana wawapa zvese. Ndipo vasikana vachizoda kuwana mushonga wekuchengetedza mukomana kusvika pakuroorana.

Mushonga wekuroogwa
Mushonga wekuroogwa mazuuvano wawanda chose nokuti vakomana vemukore uno vane meso meso, zvokuti musikana akapusa anotoregwa mukomana neavo vakasvinura kumupfuura. Mushonga wekuti mukomana akuroore wakakosha chose uye une zvakawanda mauri. Kana mukomana akabvuma kuvambuka zambuko iri.

Mushonga wekuroogwa unokosha chose zvokuti unoona vasikana vava pazera nechinhanho ichi votanga kuwirirana nevakadzi vedzimba kugovana mushonga uyu kuti zvinhu zvifambe. Inguva yokufunganya kuvasikana vakawanda, zvikuru kana wange uchiziva kuti mukomana wako ane vamwe vasikana.

Vazhinji vanozoita zvokutsvaka mimba kumukomana kuti vabatsire nyaya yokuroogwa. Asi unoona kuti vamwe vasina mishonga chero akaita mimba mukomana anongomuramba zvakadaro.  Vakadzi vakawanda vane dzimba nevarume vanoraira vasikana vane vakomana kuti zvinoitwa sei.

Mushonga wekuti murume asaita meso meso
Kana mava mumba vasikana vanoziva kuti murume anokwanisa kufinhwa newe zvokuti anotanga kuona vamwe vasikana. Zvoitazve kuti vasikana vakawanda vanoda murume ane mukadzi nechekare, nokuti anoonekwa somunhu akatsiga. Iwe muridzi wemurume ukabvunza vamwe vakadzi unokwanisa kuuudzwa kuti tsvaka mushonga wekuti newekuti.

Nyaya iyi inokura kana wava nemima nokuti ndiyo nguva inoonekwa sokuti murume anowedzera kuhura. Varume verudzi gwedu kana mukadzi akaita mimba ikakura kupfuura mwedzi mitanhatu havachadi kuvata newe. Pane nyaya yokuti varume vanotya kugofa mwana nechombo. Uku kusaziva BIOLOGY yemunhukadzi. Zvinoitisa kuti munhu kadzi anoziva kkuti murume wake munhu anofarira chose kuvata naye afunge kuti murume ari kuana zvinhu kune umwe mukadzi. Inguva inotyisa saka mishonga inowanda mumba.

Mushonga wekuti murume adzoke kana wekuchengetedza watadza kushanda
Kana wamborambwa nomurume iri ngari yokuti paita umwe mukadzi kana hure remuraini chairo, unokwanisa kuudzwa kuti tsvaka mushonga. Zvozoitikazve kuti tinoziva kuti murume wese anoda kuvata nomukadzi waakambovata naye. Wako iyeye akakuona uri wega ukamusekerera anokwanisa kuda kuvata newe zvisinei kuti akakuramba.

Saka apa unokwanisa kukwezva murume kuti avate newe iwe womuisira mushonga wekuti adzoke kwauri. Mishonga yeizvi inowanzoiswa mubhurugwa romukadzi kana kuti paya mukashandisa kondomu semazuvano emakondhomu, iwe unotora urumwe hwake wohushandisa nomushonga kuti adzoke. Kare vaishandisa zvitawero zvokupukutisa murume kana mapedza kuisana. Ihwohwo urume ushoma huripo patawero hunoshandiswa kugadzira murume. Varume vazhinji vanofunga nechombo panyaya dzevakadzi saka hazvinetsi kuhwisisa kuti nyaya iri papi.

Kushanda kwemishonga iyi: 
Chokutanga ndechokuti varume vanotya mishonga yese iri pano zvokuti akaziva chete kuti unawo anokuramba ipapo nyaya yako yobva yatopera woudzwa kuti uri muroi. Varume vanoona sokuti ndivo maVIctim emishonga iyi saka vakadzi ndivo varoi. Havahwisisi dambudziko ro mukadzi rinomudya moyo kusvika ada kunotsva mushonga wekubatsira nyaya yake.

Hama dzemurume hadzidi muroora anotsvakira mwana wavo mushonga. Kana mai vakapa baba vemukomana mushonga havadi kuti mwana wavo apiwewo mushonga.



Mushonga wevakadzi kuvarume.

Mushonga wevakadzi unopiwa varume kuti vagodiwa nevakadzi kana kuti vagokwanisa kuvata nevakadzi vese vavanoda. Zvese zviviri izvi zvinhu zvinodiwa nevarume vakawanda chose. Varume vakawanda vanotsvaka mukana wekuti vakadzi vavade zvokuti chero murume ane mukadzi mumba anoda kudiwa nevamwe vakadzi. Izvi zviri kunyika dzese saka havasi vedu chete vakadaro.  Munhu wese murume kana mukadzi anofadzwa nokuziva kuti vamwe vanhu vanomuda uye vanoona ari munhu anoti vakamuona vofunga nenyaya dzerudo.  Asi ngatichitarisa nyaya mbiri idzi imwe neimwe.

Mushonga wekudiwa nevakadzi:
Kudiwa nevamwe vanhu kuri paviri. Kunoti kukwezva vamwe vanhu koti kupiwa rudo nevamwe vanhu. Izvi zvinhu zvakatosiyana pakuti kana ukasangana noumwe munhu unomuona ari munhu anokukwezva  (ATTRACTION) kozoti mataurirana ukaona kuti munhu akakodzera kumupa rudo womupa rudo. Hino parudzi gwedu varume ndivo vanonyanga vakadzi, saka murume kuti angonyenga mukadzi waasangana naye zvinobva pakuti murume afungire kuti mukadzi iyeye angangomuda.  Kana ari murume anokwezva vanhukadzi, anenge achitoziva kuti akatanga kutaura nemukadzi, mukadzi uya achati kudii pazviri. Kunyenga kune unyanzvi hwako zvokuti vamwe varume vanozvigona kupfuura vamwe, saka tingati mushonga unouya papi?

Tikatarisa munyika dzakawanda tinoona kuti mukomana anoda kunyenga anodawo kuonekwa ari munhu akasiyana nevamwe vakomana uye akasvinura pamaitire ake.  Hazviiti kuti mukomana asina chaanacho akwanise kunyenga musikana ane zvese kumhuri yake. Kazhinji mukomana anonyenga munhu ari paLEVEL yake kana kuti ari pasi pe LEVEL yake pakpuonekwa mumamirire akaita mhuri dzavo.  Asi variko vakomana vanobva kumhuri dzisina ufumi vane unyanzvi hwekunyenga vanokwanisa kundonyenga musikana ane mhuri iri pamusoro.  Asi iyi inyaya younyanzvi kwete yomushonga. Pano toda kumbotarisa panoshanda mushonga.

Kudiwa nevakadzi chinhu chinokwanisika kuitigwa mushonga. Mushonga uyu inotengwa kuChemist unohi Pheromone wakangoita se perfume yechirume. Unoti kana murume akaupfapfaidza pamuviri wake vanhukadzi vanounhuwidzira kurekure asi zvinoita kuti vade kuva pedo nomurume anawo. Saka toti mushonga wekukwezva vanhukadzi. Asi kungowedzera kukwezva. Kana murume agara ari munhu asina shumo zvinonetsa kuti akwanise kukwezva vakadzi chero akazvipfapfaidza nemushonga uyu hapana chinoitika. Vasikana vanodawo munhu akatsvangamuka anoratidza kuti vakaroorana anokwanisa kuriritira mhuri.
Saka apa tiri kuti pane mushonga unokwanisa kuti ukapiwa mukamana akaushandisa, paanosvika pavasikana vakawanda vavo vakanhuwidza mushonga uyi vanohwa kukwezvwa naye, zvoreva kuti unoshanda. Kuti titi unoshanda tinoona uri mushonga unohi unoshanda kunyika dzese.

ma Scientist vari kuzama kunatsogadzira mushonga uyu kuti vawane mari pakuutengesa.

Mushonga wekuvata navakadzi vese vese:
Uyu ndiwo mushonga unohi mubobobo unoti kana murume akautenga akaita zvarebwa nen’anga, anokwanisa kuti akaona mukadzi waanoda kuvata naye, anongovata naye chero mukadzi wacho asingazivi kuti avatiwa naye. Zvinohi murume akadai anokwanisa kupfuura napaimba pemukadzi uyu usiku, mukadzi avete hope nomurume wake, nyamushonga agopinda mumba agorhoja mukadzi uya zvokutomusiya ane urume muchitubu make asi vese murume nomukadzi vasina kumuka kuhope.

Kutizve kana masikati chaiwo anokwanisa kukusvikira agokurhoja iwe uchihwa kuti uri kurhojewa asi pasina zvaunokwanisa kuita zvazviri.  Kwahi zvinoitikira chero mukadzi waada, chero hazvanzi yake chero mai vake chero ani zvake.  Tikatarisa mushonga uyu tinoona zvakawanda pauri zvokuti:
1 Hazvina kusiyana nokubata munhu chibharo. Zvinoreva kuti munhu akadaro anofanira kusungwa.
2 Munhu waanorhoja wacho pamwe haatombozivi kuti ndiani amurhoja saka hazvina musoro
3 Zvigwere zvechihure zvinozara muraini kubva pamunhu umwe chete
4 Vana vanozvagwa muraini vanenge vari vevarume vashomanana.
5 Chivanhu muraini chinoita sokuti charaswa.
6 Vese mutengesi wemushonga naiye nyakutenga vanokwanisa kutosungwa

Tichitarisa pakadai tinoona kuti pane nyaya dzakawandisa dzinokanganisika dai mushonga uyu uriko uye uchishanda sezvinorebwa. Totizve hakuna hurumende yenyika ingangoti zii ichiziva kuti kune mishonga yakadai inoshandiswa munyika. Saka sei munyika yedu hurumende yemo isina zvairi kuita pazviri?

Uriko here mushonga wakadai?
Chokutanga kubvunza kuti mushonga wakadai uriko here kana kuti inyaya dzevarume vedoro dzinongozoti dzatanga dzonakidza vanhu kusvika vangoramba vachidzitaura asi nyaya chaiyo pasina.  Kune murume angakwanisa here kurhoja mukadzi, mukadzi agohwa achirhojewa asi asingaoni kuti ndiani ari kumurhoja? Sokuti vese vari mubhazi rine vamwe vanhu zvoitika izvi? Chero tikati kune mishonga yemasaramusi, zvinoitika sei?

Tichitarisa varume vakawanda nemaitire avo tinoona kuti vangada mushonga wekuti akangoona mukadzi chero okwanisa kuvata naye, chero pasina kutaurirana. Varume zemo ravo guru rinobva pakuona. Saka fungwa dzavo dzokuvata nevakadzi dzinotangira pakuona. Hazvishamisi kuti umwe wavo anotanga kufunga kuti dai kune mushonga wekuti akaona munhu waanoda obva atovata naye. Zvadaro oudza vamwe vake nyaya yemushonga wakadai, vamwe vaya voonawo iri nyaya ingafadza varume vakawanda, vobva vaendawo vachiudza shamwari dzavo. Pasina nguva nyika yese yotofunga kuti kune mushonga wekuti murume akwanise kurebesa chombo zvokuti ari mubhazi anotokwanisa kurhoja mukadzi akagara kusiti riri mberi uko iye ari kumashure kwebhazi.

Kozoitawo vamwe varume vanongoonekwa vane vakadzi vemuraini, vamwe vari vevanhu, zvoita sokuti vakadzi vari kutadza kumuramba, kana kuyeuka kuti vane varume kumba. Vamwe vopedzisira voti murume uyu ane mushonga wekukwezva nokurhoja chero mukadzi waada.

Kune varumezve vanozikamwa paunyanzvi hwavo panyaya dzekurhoja mukadzi. Zvikabuda kuti nhingi anogona basa, vamwe vakadzi vasina unhu vanotsvaka mukana wekuravira. Hazvinetsi mukadzi kunyenga murume. saka napo napo unoona mukadzi uya avatwa naye. Hazvirevi kuti murume ndiye anyenga mukadzi wemunhu asi kuti anoratidzwa kuti akamunyenga mukadzi anobvuma.


Tichiri pakufunga nenyaya idzi davirai mubvunzo uri apo wakahi mubobobo