Tuesday, 24 April 2018

Mibvunzo nemhinduro 16

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 15 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 16. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 15, 14, 13, 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO
Ndatenda





Mubvunzo

Mhinduro

Ndini Sally, ndine 19 months ndaroorwa asi ndine dambudziko rokuti murume ndomuda chose uye iye anondida asi pabonde handisviki chaipo ipo nechombo , but ndiri ndega ndinosvika. Murume ane zvese zvakakwana uye anoshanda basa. Ini ndini ndine dambudziko. Tine mwana one. HELP. Murume kana wati anokuda, iwe uchimuda, zvoreva kuti munofanira kushanda pamwe chete kugadzirisa nyaya dzenyu. Kuti murume ahi anogona basa anofanira kumboita nguva muchirezvana kuti unatse kunyorova. Zvadaro okukuitira nguva refu kubva pakupinzana kusvika paanokudiridzira, toti maminitsi anopfuura manomwe. Vanhukadzi vakawanda panguva yakadai vanenge vasvikawo ipapo pauri kuti chaipo ipo.

Asi hwisisa kuti kune mhomho yevakanhukadzi vasingasvitswipo nengari yokusnandhwa nechombo chete. Ava vakawanda zvokusvika pa 65%. Vanoda kuti uku murume ari pabasa uku iwe muridzi uri kuzvikwizirirawo bhinzi nemaoko.

Zvinohi 25 % yevanhukadzi vanosvitswa ipo ipo nehombo chete, saka ngatisakasira kufungira kuti varume ndivo vane dambudziko. Pamwe ndisu. Kana uchida kuona kuti unoita nyore here kusvitswa ipo ipo nechombo chete pasina kukwizirira bhinzi, unokwanisa kukumbira murume wako akupime kutarangana kwakaita kubva paburi rechirubu (kumusoro kwakananga kuguvhu) kusvika panotangira bhinzinechokuzasi. Kana kutarangana uku kukaratidza kuti kwakapfuura 2.5 cm, zvoreva kuti uri munhu anonetsa kusvitsa ipoipo nechombo chete, panoda kukwizirira bhinzi.

Pamwe ndosaka uchiti uri wega hauna dambudziko. Saka apa tiri kuti tese tinoziva kuti kuiswa kunonaka hako chose asi dzimwe nguva unenge uchihwa kuda kunatsosvikawo chaipo panodzivaidza muviri. Chombo chega kune vamwe hachizvikwanisi saka iwe muridzi isa maoko pakati uzvikwizirire bhinzi murume achikushanda nechezasi. zvinokasira kufamba.  
Ndakawana basa Part time asi tokwanisa kutenga Grocery. Murume anoshanda asi mari yeke haikwani zvese. But now haafariri kuti ndishande. Ndoita sei? Kune varume vanoshushikana pamoyo kana mukadzi wake achimukawo achienda kubasa. Ingari yokuti vanoona mukadzi semwana mudiki anofanira kuchengetwa uye kugara ari panoonekwa nokuti kana akahi noumwe murume bvisa bhurugwa ndivate newe haakwanisi kuramba. Ndiwo maonere avo. Kumuka uchigeza uchipfekawo zvakanaka zvinoita varume vaone kunaka kwako zvinova zvisingafadzi murume wako.

Koitazve vamwe varume vanofunga kuti uri mumba nokuti hauna kumwe kwaunokwanisa kuenda nokuti hauna mari. Zvino ukazoita mari zvoonekwa sokuti wava kuzvidza murume.

Koitawo vamwe vanohwisisa kuti munhu anohi Mai nhingi ava munhu mukuru saka anozvifungira. kana achida kuhura anokwanisa kuhura zvisinei kuti anoshanda here kana kwete.  Ava vanogamuchira kushanda kwake mhuri yoenderera mberi.

Iwe zviito zvako ngazvichidzikamisawo hana yemurume wako. usazotinyadzisa nokuwana chimwe chokuita chisina kodzero. Napo napo murume wako achatanga kuita CNFIDENCE newe. Musapopotedzana panyaya iyi uye iwe hwisisa kuti murume wako haasi kuviitisa. Ndiwo maonere ake kusvika iwe wamutaridza kuti hapna chaanotya. 
Chii chingaitwe kana murume aita girlfriend mukadzi ozvibata asi murume achida girlfriend yake zvese nomukadzi?  Anoda vese.

Kuti tidavire mubvunzo uyu ngatitange nokubvunza kuti

" Chii chingaitwe kana mukadzi aita boyfriend murume ozvibata asi mukadzi achida boyfriend yake zvese nomurume?  Anoda vese."
Kana tawirirana pamhinduro yemubvunzo uyu tichazowiriranazve pamhinduro yemubvunzo wekutanga.

Ini kuona kwangu kana umwe wako akatanga kuhura akakuudza kuti anoda mese, zvoreva kuti iwe chibvapo undotsvaka kumwe. Zvepano zvakuperera.
kana murume/mukadzi wako asingaguti newe, ngaataure nyaya igadziriswe, kwete kundotsvaka umwe. 
 Pane mushonga wekukudza mazamu here? Pane zvinhu zvina mushonga unozvikudza pamuviri wemunhu zvinoti
Mazamu
Kureba kwemunhu
Chombo chomurume
Matinji
nezvimwe zvakawanda

Asi unokwanisa kundoitwa OPERATION kuchipatara kana une mari asi hazvizoiti kuti nhengo idzi dzishande sezvadzaichiita kare. 
Unoziva sei kuti uchiri mhandaraKana usina kumbopinzwa chombo muchitubu kana kumashure, zvisinei kuti wakabvaruka chivharo, zvoreva kuti uri mhandara.

Kana wakambopinzwa, zvisinei kuti hauna kubvaruka chivharo chechitubu, hausi mhandara.

Mhandara munhu asingazivi murume. Hazvinei kuti unogaroshandisa VIBRATOR kana maoko kuzvinakira here kana kwete. mhandara dzakawandisa dzinozvidhonza matinji uye kuzvikwiza bhinzi kusvika aguta. Asi hazvibvisi humhandara hwemunhu kusvika murume akupinza chombo.

Vakomanawo vanozvirhoja maoko kashanu pavhiki kana kupfuura asi anoramba ari jaya chete kusvika apinza chombo mumukadzi. Hakuna mukana wekutaridza umwe munhu kuti uri jaya here kana kuti mhandara. ndezvokurondedzera chete kuti Ndiri chokuti. Iye kana ada kubvuma kana kusabvuma zviri kwaari asi hapana chingamuratidza.

Chii chinokonzera kusura kwechitubu panguva yebonde?Tanga waverenga pandakambotsanangura nyaya iyi muna 2012, Kana wapedza ukasanatsohwisisa, wobvunzazve. Asi Kana tichiita SUMMARY tonoona zvinhu zviviri zvinoti :
1 Maitire enyu anoitisa mweya upinde mukati
2 murume ane chombo chakakora anokonzera mweya kupinda wobva wavharigwa wotadza kubuda, kusvika PURESHA yawanda. 
7Tinoshandisa maCondom. Kana boyfriend yangu akabvisa condom ndinonakirwa zvakasiyana here?

Handisi kuda nhumbu but ndiri kuda kungoziva kuti zvakasiyanei
Kusiyana kwazvo kune nyaya dzaunofanira kuhwisisa.
1 Kana muchishandisa makondhomu munosvika pamwe pamunhombomira zvamuri kuita modzingana nezvekupfeka makondom.  Zviri nani kuti muite tsika yokuti mukadzi apfekedze murume kondomu achishandisa maoko maviri. Zvakanakira kuti unowana mukana wekurezva chombo chomurume ako kusvika chamira zvaunoda kuti umupfekedza kondhomu.

2 Pakuisana haunei nezvemimba izvo saka hautyi. Fungwa dziri pakunakigwa chete chete.

3 Murume anononka kukudiridzira kureva kuti unonakigwa pakuisana kwenyu. Unokwanisazve kutenga makondhomu ane mutsetse anowedzera kukwiza mukati mako zvinova zvinonaka.

4 Asi kuiswa pasina kondhomu kunonaka zvakasiyana iri ngari yokuti iwe wega fungwa inokuudza kuti une chombo mukati chemurume wako uye muri kukwizirana ganda. Zvakati siyanei manakire azvo.


8Chii chinokonzeresa kusanakirwa nemurume pabonde?  Ndibatsireiwo please. Pana zvakawanda zvinokwanisa kuti usanakigwa nomurume zvikuru kana muri vechidiki muchangotanga kuva mukadzi nomurume. Zvinokwanisa kutora nuva kujairana, uye kujaira kuisana. Kana musina EXPERIENCE yokuisana munokwanisa kusahwisisa mafambire emuviri wemunhukadzi.

Zvinokwanisikazve kuti pamwe hausi kunatso nyorova saka zvinokwanisa kugwadza.

Pamwe wakatizira saka haunatsi kuziva kuti murume anokuda here kana kwete.  Pamwe hama dzake hadzina hanya newe.

Pamwe uri kutadza kubata mimba saka fungwa yako iri pakuda mimba wobva washaya nguva yokufunga zvokunakigwa.

Pamwe makambohurirana saka hauna kugadzikana hana panyaya dzokuisana. Pamwe wakamboita chigwere chechihure chikakutyisa chose.

Pane zvokonzero zvakawanda. kana pane chiri kukudya moyo ndinyorere tione kuti pane chatingaona here chokuita. 
Kana uchitanga kurara nemurume zvinorwadza here musi wekutanga wacho?

Zvinobva nokuti murume waunaye anohwisisa here kuti unokwanisa kugwadziwa, uye kuti iwe une makore mangani. Kana une makore ari pasi pe 18, zviri nani umbomira kusvika wawedzera kukura.

Tanga nokubvumirana nomurume kuti uri kuda kuiswa kuti asamhanyamhanya pazviri. Muudze kuti aterere zvauri kumuudza pakuisana kwenyu. Kana mukambobatanabatana kusvika wanatsa kunyorova, ukazovhura makumbo wovata nomusana moisana makadaro kwete mamwe maitire, zvinoita nani.

Ngaakupe chombo iye osafakanyika kusvika chapinda. Iwe ndiwe unosimudzira chiuno uchipfekedza chombo nechitubu. Iye ngaasafosa chombo kupinda. Iwe ndiwe unosundura chiuno pachombo kuti chipinde. Ndiwe unokwevera murume kuti apinde.

Zvinogwadza asi unongoita sewabaiwa netsono zvobva zvatopera nguva dikidiki wotohwa chombo chazara mukati mako, mava kutoisana. Kana murume asina kujaira, anokwanisa kutokudiridzira napo napo. Unokwanisazve kutobata mimba ipapo saka shandisai kondomu kusvika mava kuda mwana. 
10 Chii chinokonzera mapundu muhapwa?Mapundu ese atisingazivi kuti abvepi anoda kuendwa nawo kuCILINIC. Please. Enda kuCLINIC uvataridze vakuudze kuti chii uye zvoitwa sei. Musaita tsika yokuchengeta zvigwere mumba nokuti inyaya inokanganisa muviri.

11 Ko inonzi G- spot yemukadzi inobatwa papi uye sei?  ndingaziva sei kuti ndaibata? Kana mukadzi avete nomusana akapatsanisa makumbo, Gspot yake iri mukati mechitubu kumadziro ekumusoro (CEILING) saka ukapinza chigumwe kana ava nezemo, ukatsvanzvadzira kumusoro uchahwa pakaita kunge bundu kana kuti kuzvimba mukati ndiyo G spot yacho. Kana muchiisana mukadzi akafongora akadhefura musana anohwa kugofiwa pa Gspot. Zvinonaka. Kana mukadzi akapakicha makumbo pamafudzi emurume anokwanisazve kugofiwa panhu apa.

12 Kuita mimba uchiyamwisa kune zvakaipa here? Kana wazvara mwana, unokwanisa kubata imwe mimba kwapera mwedzi miviri chete chete saka kuzvara hakukuregesi kubata mimba. Asi zvinozikamwa kuti kumwisa mwana wawazvara zvinokonzera kuti unonoke kutanga kuenda kumwedzi. Asi kana wangotanga kuenda kumwedzi zvotoreva kuti wava kukwanisa kubata mimba. Hwisisazve kuti unokwanisa kubata mimba kwasara vhiki mbiri kuti uende kumwedzi. Izvi zvinoreva kuti kana wazvara mwana,  unokwanisa kuita imwe mimba usina kutomboinda kumwedzi.

Kana wabata mimba uchiri kumwisa mwana, hapana chakaipa kuti urambe uchimwisa mwana mukaka. hapana chingaitika kwauri kana kumwana asi kungoti simba rinodiwa pakugadzira mukaka rakawanda kozotizve simba rinodiwa pakuumba mwana muchibereko rakawanda futi. Koitazve kuti maHORMONE ako anosiyana nezvinodiwa pakungoita chimwe chete chezviviri izvi.

Zvakadaro zviri nani kuti mwana kana ange apfuura mwedzi mitahatu achimwa mukaka, wochirumura kuitira kuti muviri uchiona nezveuyo ava muchibereko. Asi kana mwana ange achiri mucheche unokwanisa kuramba uchimwisa.

Hapana chakaipa kurega mwana achimwa mukaka. Kare vakuru vaiti zvisaitwa vachifunga kuti pane Poison inoitika mumuviri, asi bodo hapana. Kungoti zvinogozhera muviri wako. 
13Kana mukadzi akazvitakura kana akatanga kubuda mvura kuzasi zvinorevei?Kana achingobudawo tumvura tushoma tusinganhuwi, zvinokwanisika kuti hapana chakaipa, Asi kana achivhinza zvoreva kuti pane dambudziko saka munofanira kunge matomuendesa kuchipatara.
Kana pamberi pachinhuhwa zvoreva kuti ane INFECTION inoda kukasira kurapiwa.

Kana munhu ane mimba anowedzera chose kubuda mvura yakaita kuchenuruka uye ichingova nehwema hweukadzi sezvaunongoita kana ukapinza chigumwe muchitubu ukanhuwidza wega. Mvura iyi inotoramba ichibuda kusvika wazvara mwana uye inotanga uchangotanga mimba. Haina chakaipa pairi. Vamwe varume vanoti hwema hwacho hunohwikwa paganda remukadzi sokuti pakubatana batana moda kuisana. Vanoti zvinokasirisa chombo kumira.  Hapana chakaipa. Usatyiswa nazvo. Kungopheka panty liner chete kuti usangoswera nebhurugwa rakanyorova.

Kana akaenda kuhosipitari vanokwanisa kuongorora zvese kuti ane zvigwere here uye zvipi zvacho asi havakuudzii kuti abatwa chii kana ane zvakaita se HIV. vanonyarara kune dzimwe hospitari. Ku Europe ne America, autralia vanokuudza. Ndakamboshandako. Vanokudaidza vokutsanangurira zvokuita kuti mwana asabata chigwere china mai.


14Ndoitawo sei, ndakabatwa nechirwere?Kana wakabatwa chigwere watova munhu anoziva kuti une chigwere saka chidzidza kuti chigwere chako chinofamba sei pakurapiwa uye pakuchengetedza utano hwevamwe vari pedo newe. Hauna kutaura kuti wakabatwa chigwere chipi saka handikwanisi kukuudza kuti zvoitwa sei. Ivo vakakubata chigwere vanokuudza zvokuita. Zvimwe zvigwere zvinoda kukasira kutanga kurapiwa. Zvimwewo hazvirapiki. Iwe hwisisa chako kuti chiri papi. 
15 Kusaenda kumwedzi kunoitiswa nei? Zvikonzero zvokusaenda kumwedzi zvinovunzwa chose pano. Zvinoti

1 Kana wakaondoroka zvokuti mabhonzo anotoonekwa
2 Kana wakakoresa
3 Kana wava munhu mukuru apfuura makore 32 unokwanisa kunge usisina mazai ekukandira zvinova zvinokonzera kuenda kumwedzi
4 Kufunganya
5 Kana une mimba hauendi kumwedzi.
6 Kana wakabviswa chibereko pa Operation.

ndizvo zvokonzero zvikuru izvi. 
16 Ndoda kuziva kuti mushonga unorapa maronda emudumbu unowanikwa kupi. Maronda emudimbu anohi ma ULCERS anoitiswa ne
Zvikonzero zvinoti
·         Kugaromwa mapiritsi anohi Naproxen
·         Kugaromwa mapiritsi anohi ibuprofen
·         Kugaromwa mapiritsi anohi Asprin
·         Kugaromwa mapiritsi  ari muboka reawa
·         Kuva neutachiona husina kodzero mudumbu hwakaita se humwe hunohi H. PYLORI
Unoziva sei kuti une maronda mudumbu

  • ·         Kugarohwa mudumbu muchigwadza zviri pasi asi pamwe zvichiwedzera, uye kuti pamwe uchangopedza kudya mudumbu mombomira kugwadza.
  • ·   Kutanga kuondoroka
  • ·         Kuhwa usina hanya nokudya
  • ·         Kuda kungorutsa zvinhu zvakasviba ruvara
  • ·         weight loss
  • ·         Kudzvova zvakawedzera uye kuita nyon’o

17 Kudadzira nzira yemwana kunoitwa sei. Kana une mimba, uchida kuzvara zviri nyore, zvikuru mimba yokutanga, tanga wahwisisa kuti mupasi rese mune nyika dzinoita 195 munogara vanhu vanopfuura mabhiriyoni manomwe. Isu tega tisu tine nyaa yokugadzira nzira yomwana.Saka zvibvunze kuti ko vamwe kunyika dzese idzi vari kuzvara sei vana vavo.

Muviri unoziva wega kuti nzira yomwana inogadzigwa sei. Usazvinetsa nazvo. Zvinoitwa ne MaHORMONES. Asi mahormones acho anoti wandei kana uchigara une mufaro une mimba uye zvikuru uchigaro piwa urume nomurume wako uye uchiita maORGASM akawanda une mimba. Ndiwo mushonga mukuru uyu. Zvimwe zvese hapana chazvinorapa zvakaitigwa kuti ugadzikane hana panyaya yokuzvara uchifunga kuti hazvigwadzi. Paunozoona kuti zvinogwadza unenga usisina kwekuenda.

Usaita hanya nenyaya iyi zvachose. Ingogara pedo nomurume wako woita tsika yokuvata naye nokumukwezva kuti avate newe. Iwe wowedzera hope. Kukasira kundovata kunonoka kumuka. Asi moisana zvisingaiti akutsimbirire dumbu. Vata nedivi iye ari kumashure, Wosimudzira gumbo nokugonyera mberi murume opinza. Kana kuvata manhede murume ari padivi pako womusimudzira gumbo riri divi rake opinza chombo moita.
Sinyana nezvemishonga kana une mimba unokuvadza mwana wako uchiudzwa nhema nevanhu vasingazivi kuti zvakaitiwei nevakuru vedu. 
18 Mukadzi kana asingatereri murume zvingaitwa sei?Verenga apo pandaisa mhinduro nokuti pano haikwani. yakarebesa kuidavira pano.
 baya apa Mukadzi asingatereri murume

Kana usina kuhwisisa ndinyorere umwe mubvunzo panyaya . 
19Murume/mukadzi asingade kuti mumwe abate foni yake, ndizvo here. Iwe kana une mukadzi wako kana murume wako, chokutanga uchaona kuti pane zvinhu zvaanochengeta zviri PRIVATE zvausingafaniri kuona kana asingadi kuti uone. Iwe basa rako kuhwisisa kuti chinhu chiri PRIVATE ndechipi.
1 Usatarisa foni yake kana asina kukupa kuti utarise.
2 Usapfeka zvipfeko zvake kana adina kukupa kuti ipfeke.
3 usamupendira mushawa. mutoilet kana apinda akavara mukova.
4 Kana ane COMPUTER /TABLE usatarisa HISTORY yake uye kana ukaiona usamubvunza azviri. Nyarara.
5 Varume vanoda kuti dzimwe nguva aite chimhandara maoko ari ega. Kana ukazviziva kuti ndiwo maitire ake, usamubvunza pazviri. Vanoti manakire azvo akasiyana nokuisana nomukadzi wake.
6 Vakadziwo vakawanda chose vane varume vanovakasirira vanozvipedzisa nemaoko murume abatwa nehope. Kana ukapepuka, ukawana mukadzi wako ari mubishi remaoko, nyarara pazviri asi hwisisa kuti haasi kuguta.

Hwisisa kuti muri pamwe chete asi muri vanhu vaviri.   
20 Ndiri kuda kudzidzisa vakadzi bonde. Nyora hako bhuku uritengesera vakadzi. Iwo mafungire ako okuti unoona sokuti unokwanisa kudzidzisa vakadzi ndiyo inohi pachirungu ARROGANCE. Dai wangoudza mukadzi wako wawakatodzidzisa kare kuti audze vamwe kuti chii chaakadzidza. 
21Tingaita sei kuti tizvare mwana mukomanaTanga waverenga apo pakahi

Kana wada mimba 

zvinokwanisika kuti musarudza kuti mwanai asi hazvisi nyore.
22 Ndoramba murume here chombo hachina simba?Mafungire iwawa ndiwo anoitisa kuti chombo chake chishaye simba. Kana une murume, mese muri vaviri munofanira kubatsirana kugadzirisa matambudziko anouya mumba menyu. Makaroorana kuti mugare pamwe chete mumufaro nomumatambudziko.

Kana murume achiratidza kuva nedambudziko iri, zvinokwanisika kuti ane chigwere chomoyo kana kuti DIABETES, and zviri nani kuenda naye kundoonekwa nevarapi pane kumuramba. Haungarambi munhu uchiti nokuti ane chigwere. Mafungire akaipa iwawo nokuti iwewo uchagwara. 
23Chii chingasaka kuti murume aite bonde kamwe chete pausiku hwese? Zvinobva nokuti magara mese nguva yakareba zvakadii. Iwe kana uchida kuti muvatane kakawanda usiku, unofanira kutaurira murume kuti unoda kumutswa usiku. Kana asingazivi kuti ndizvo zvaunoda pamwe ari kutotya kukumutsa achifunga kuti unomupopotera. Kune vakadzi vakawanda chose vasingafariri zvokumutswa usiku.

Iwe ukapepuka usiku murume ari kuhope, purudzira chombo chimire uzevezere murume kuti ngaapinze. Anokwanisa kuvata newe ari kuhope. Kana kuti mangwanani kuma 5 chombo chinenga chimire chega nokuti ndiwo maitire acho kana muridzi avete. Sakaiwe ita tsika yokuratidza kuti unoda kuvata naye nguva iyi. kumirira munhu kuti afembere zvaunomufungira hazvibatsiri chinhu. 
24 Kana mukadzi azvara anogara nguva yakadini asina kuvata nemurume? Varapi vanoraira kuti ngakupere mwedzi nehafu kana kuti vhiki nhanhatu (6). Kana pasina chakaipa munokwanisa kutanga kuisana. Kana pane chakaipa tangai mabvunza varapi.

Asi hwisisa kuti anokwanisa kubata mimba kubva pamwedzi umwe chete azvara saka kana achimwisa mwana imboshandisai kondhomu kusvika arumura. Usashandisa tsika yokuisana musina kondhomu muchifunga kuparadzana kana woda kudiridzira. Haishandi tsika iyi nokuti kuisana kunonaka zvokuti munongozoerekana matopanana urume. 
25Ndeipi mishonga inoshandiswa kupfuhwira murume kuti asakunetsaKana uri munhukadzi mushonga wakanaka kupfuura yese uye unoshanda chose kupfuhwira murume wako uri paviri panoti muvuri wako, uye fungwa dzako. Shandisa muviri wako, zvikuru chiuno, pamurume wako. Garofunga zvakanaka zvokuitira murume wako. Kana ukagumbuka pane zvaaita, pedzera shungu pamurume wako, hasha dzese dziende muchiuno. kwete kupopota nokumutsoropodza Muudze kuti wagumbuka asi ngaahwisise usina kupopota.
Verenga apa:
Kufuhwira murume/mukadzi
26Ndinogarorota ndichiisana nomurume. Kurota wakavata nemurume zvinokonzerwa nei? Vanhu vese vaunoona vachizvifambira vanomboita nguva vachirota vachiisana noumwe munhu. Usazvinetsa panyaya iyi. Tese tinorora tichiisana noumwe munhu. Pamwe hauoni musoro wake saka hauzivi kuti ndiani. Pamwe unorota uchiiswa nemunhu wemuraini waunotoziva asi wausina kana chaunoda paari. Hapana zvazvinoreva. Mupasi rese vanhu vanorota vachiisana noumwe munhu. Pamwe unototunda uri kuhope asi uchirota. Usaita hanya nazvo. tese tinodaro nguva nenguva. Muviri wako unogaropurakitiza kuiswa kana kuisa. Zvikuru varume vanopurakitiza kubudisa urume vari kuhope. Kunohi kuzviroreta.

Verenga apa pakahi KUZVIROTERA 
27Kugona kufadza mukadzi pabonde kuita sei? Chokutanga wana mukana wekutaudzana nomukadzi wako panyaya dzokuisa kuitira kuti iye akuudze zvinomunakira iwewo uchimuudza zvinokunakira. Kana mahwisisana chipotai muchiita zvinokunakirai.

Musaisana makati zii semakafa. Murume pota uchizevezera mukadzi muzheve zvauri kuhwa muviri wake uchikunakira. Iywo uchahwa achichemerera nokunakigwa newe.

Kubva pakumupinza chombo kusvika pakumudiridzira pfuura 7 MINUTES. vakadzi vakawanda vanoda varume vanopfuura 7MINUTES, Zvinonaka chose.

Mapedza muudze kuti anonaka chose chose 
28Ndozama asi murume haafariri bonde neni. Tava negore taroorana asi ndatambura. Imbotaura naye pasina zvokupopota kana kuchema asi kungomugarisa pasi womuudza kuti hauna mufaro pamba pako nokuti iye haadi kuvata newe zvakakwana. Womubvunza iye kuti chii chaungaita chaanoona kuti chingabatsira kkuti muwedzere kuvatana.

Kana zvaramba womuudza kuti unokumbira muende kwasekuru vake hazvanzi yamai vake mundobvunza kuti zvoitwa sei. Asi unonokumbira mbuya kuti vaudze sekuru vataure nemwana wavo.

Kazhinji varume vasingafariri zvokuisana pane chiri kuvanetsa mufungwa. Unohwa achiti mukadzi anongoda pese pese. Iwe usataura uchiti unoda pese pese. Buda pachena kuti katatu pavhiki kuti vahwisise kuti haasi kutomboita zvakakwana. Pagore rokutanga vakawanda vanopfuura kagumi pavhiki.
29Kunamirana muchiisana kunoitiswa nei?Inohi SPASM inoitika mukati memukadzi obva abata chombo chotadza kubuda. Pachirungu zvinohi PENIS CAPTIVUS. Hazviwanzi kuitika asi zvinoitika kunyika dzese. Kana zvaitika munoendeswa kuchipatara mukadzi obaiwa jekiseni rokurerusa nyama dzomuviri kuti murume akwanise kubuda. 
30Chii chinokonzera kuti nhengo yemurume isamira?Pamwe ane chigwere chomoyo, kana BP, kana kuti pane mapiritsi asingaenderani nezvokumira kwechombo aaari kushandisa kana kuti ari kufunganya.

Verenga apo pakahi Murume asingamiri chombo
31Chekushandisa kudzora hwema hwekuzasi kwemunhukadzi chii? Kana une hwema hwakaipa kubva pamberi hwisisa kuti une utachiona INFECTION saka unofanira kundorapwa nokukasira.  Kana uri kure nevarapi tora GARLIC womenya chibazi chimwe chete, wochiboora buri, wosungira tambo, wopinza chibazi ichocho chimwe chete mukati, tambo yosara uchionekera kuti ugokwanisa kudhonza uchibvisa.

Chiisa mukati kana wonovata, wofumobvisa mangwana. Zvinososona chose kwenguva inoita 5 Minutes asi zvinozoti tonho wokwanisa kuvata.  Mangwana chaiye unenge usisina IINFECTION kana dziri INFECTION diki.  asi enda unoonekwa.

Verenga apo pakahi Kugeza chitubu 
32 Kune mushonga wekuti mukadzi  kana murume ade zvepabonde nguva dzese here? Mishonga iriko zvikuru yekupa varume asi inokuvadza uye haazokwanisi kumira chombo pasina mushonga. Zviri nani uite murume/mukadzi wekukwezva kumukurudzira kuda kuisana mumba menyu.
Usamuudza nezvekuti kana asingadi unonotsvaka hure. Hazvishandi nokuti zvinotaridza kuti haumudi. 
33 Unoona sei kana umwe achipomba/(achihura)Hapana chaunokwanisa kuona. Zvese varume nevakadzi kana achangotanga kuhura anowedzera kuda kuisana mumba menyu saka ndiwo mamwe maonere aungaita.

Kuhura kwevakadzi kwakasiyana nekwevarume. Vakadzi vanovanza chihure kupfuura varume. 
34 Ko kugara ndisina bhurugwa kwakaipeiko? Ndikapfeka bhurugwa ndovaviwa. Kugara usina bhurugwa zviri kwauri. Hapana chakaipa pazviri. Bhurugwa harina charinowedzera kana wakapfeka dhirezi rakakodzera kubuda mumba. Ini kazhinji ndinoenda kuSupermarkt ndisina bhurugwa. Ndakakurira mumhuri yange isina mari ndikazotanga kupfeka bhurugwa pandakaenda ku BOARDING School saka ndinohwisisa maitire kana ndisina bhurugwa. Iwewo unokwanisa kunge uri munhu anohwa akasununguka kana usina bhurugwa. Hapana chakaipa.

Vakadzi vakawandisa chose chose munyika dzakawandisa vanopfeka mabhurugwa ekunyebera anohi G-STRING, kureva kuti harisi bhurugwa asi inongori tambho inopfuura nepamberi isina zvainovharadzira. Kana ukakotama wakapfeka G-STING une dhirezi fupi, zvese zvauri zvinongooneka.

35 Ko bhinzi inomira nguva yakareba sei?Bhinzi yemunhukadzi yakangofana nechombo chomurume maitire ayo. Kungosiyana kukura kwazvo chete. Kana murume ane zemo, chombo chake chinomira kusvika zemo rapera, zvisinei kuti rapedzwa nei. Kana Mukadzi ane zemo bhinzi yake inomira kusvika zemo rapera zvisinei kuti rapendwa nei.  
36 Ndoita sei. Murume wangu haagoni kundikwira zvinonaka. Before our wedding, way before, ndakamborara nomurume wasisi, sisi vari kuHospital, ndakanakirwa way way more. Hazvikwanisiki kuti murume haagoni kukukwaira. Kukwirana kunoda vanhu vaviri saka haungati iye haagoni ugofunga kuti iwe unogona.

Iwe muridzi, natsa kufongorera murume womubata chombo wochinangisa pako paunoziva kuti ndipo pachinofanira kupinda. Kana changopinda hazviiti kuti uzoti haagoni nokuti iwe une chiuno chaunofanira kushandisa. Iyewo ane chiuno saka mese munokwanisa kushandisa zviuno zvenyu.

Kana ukavata nemanhede ukavhurira murume makumbo kana kuapakicha pamafudzi ake, unokwanisazve kubata chombo wochinangisa pokupinda wosimudzira chiuno kuti anatse kupinda.  Zvadaro motokweshana makadaro kusvika umwe atunda kana kuti mese.

Chaunoti haagoni ipapo chiiko?
37 Mushonga wechivanhu unoshandiswa kudhonza matinji unonzi chii? Hakuna mushonga unokonzera matinji kana imwe nhengo temuviri pamurume kana pamukadzi kukura dzimwe ngengo dzisingakuriwo. Hazviiti kuti woisa mushonga pamazamu obva akura muviri wee usingakuri.

Mushonga wekukudza matinji kudhonza chete chete, zvisinei kuti wava nemakore mangani okuberekwa unokwanisa kungodhonza matinji okura. Hapana mushomga unodiwapo. Tese takadhonza waniko pasina mushonga. 
38Chii chinokonzera vakadzi kuhuraKune zvikonzero zvakawanda zvinoonzera mukadzi kuhura asi chikuru chacho kushaya rudo mumba. Kana ukaita murume asina hanya newe kazhinji unopedzisira wahura nengari yokutsvaka rudo. Kune varume vanoti kana muchinri musikana nemukomana, vanotaridza rudo chose asi kana maroorana rudo hapachina. Ivavo vanohurigwa chose.

Kana uchida kuti mukadzi asaona vamwe varume shamwaridzana nomukadzi wako ugare uchiita nyaya dzinofadza naye. Woratidzawo kuti unofarira muviri wake uye unonakigwa nokuisana naye. Kana asipo hauna mufaro.

Ratidza kuti unoremekedza mukadzi wako, uye haumushori kana une mhuri yako. Kana mukapokana unokwezva mukadzi kuti nyaya ipere. 
39 Bonde pakati pemusikana nemukomana vanodanana, zvinofamba sei? Kana asiri murume/mukadzi wako muri kuita chihure. Hapana chakanaka chamuri kuita. Kana muchiona kuti munoda bonde rooranai muite zviri pachena nyika yese ichiziva kuti muri vemhuri imwe chete.

Chihure chinouraya, zvikuru kumunhukadzi nokuti musi waunorambwa nomukomana wauri kufunga kuti uri kudanana naye ndiwo musi waunohwisisa kuti waitambisa nguva yako uchivhurira munhu makumbo asiri murume wako.

Chihure siyanai nacho. 
40 Chii chinoita kuti murume ade kuvata nemahure mu kadzi wake aripo?
Chihure chese chinoitiswa nokumhura munhu wawakaroorana naye, kusava nehanya naye, kusamuona somunhu akakukodzera, kana kusamuda zvachose. Varume vakawanda verudzi gwedu vanoona sokuti mukadzi wemumba haasi munhu chaiye asi chinhu chake chokutambisa kuratidza kuti murume. Saka kana akaona umwe mukadzi anoda kuiswa, (sezvakaita mhure) pamwe fungwa yake haitomboyeuki kuti ane mukadzi kumba. Anokwanisa kutovata nehure riya obhadhara mari kuita sokuti ane zvara yokuisana izvo bodo, mukadzi kumba akatomirira kuti murume akauya tichaisana tigovata. 

Koitazve nyaya yokuti varume vakawanda vanohura hvakwanisi kugutsa mukadzi wekumba. Frustration yacho yokutadzi kugutsa mukadzi ndiyo inoitisa kuti aende kumahure nokuti mahure akawanda anongodetemba chero murume amupa mari achiita sokuti anakigwa chose izvo bodo kuita kuti shasha igofunga kuti yagona kuitira kuti igodzoka mangwana neomwe mari. Varume vakafanana nezvanana pakuda kupururudzwa  panyaya dzokuisana.

Koitazve varume vane vakadzi vasingahwisisi kuti murume anofanira kugara achiisana nomukadzi wake mumba. Mukadzi akaita tsika yokukangamwa kuisana nomurume wake zvakakodzerana nokuda kwemurume, sokuti  pavhiki moisana 7-10 times, murume anotanga kuona sokuti ari kushaya obva atsvaka kumwe. Vakadzi vanoonekwa sokuti kana ava mumba zvokuisana haachazvikoshesi sezvaanoita dzimwe nyaya. Uku kusahwisisa kwedu isu vakadzi. Murume anofanira kuvatwa naye kakawanda pavhiki. Chero usina zemo, bvuma kuvata nomurume wako kana iye ane zemo, uye taridza kuti wange uchitozvifungawo. Ngatisakundwa nemahure.

Vakadzi kazhinji vanohuriswa nokushaya rudo mumba. Kana murume asingaratidzi rudo. 
41 Kungosura sura ese pese kunokonzerwa nei?
Chinotori chigwere asi pamwe zvinoitiswa nokusava nehanya nezvokudya zvako.
1 Kuva munhu akakora. Vanhu vakakora vanogarosura kupfuura vatete
2 Kungoda kudya pasina TSIKA. Munhu anofanira kudya katatu pazuva. Pakati penguva idzi unofanira kumwa mvura yakawanda. Vamwe vanongoti pese pavaona zvokudya vodya. Zvinosurisa izvozvo.
3 Kusahwisisa BALANCED DIET
4 Kusatsenga zvokudya pakudya kunoita ukasire kuminya uchiminya mweya uchazoda kubuda nokusura nokudzvova.
5 Kudya zvokudya zvinosurisa vakaita semutakura, mazai, muriwo usina kubikwa zvakakwana, mukaka, nyemba, hanyanisi. 
42Ndebvu kumeso kureva munhu anonaka here pabonde?Kunaka kwemunhu pakuvatana hakunei nezvaunoona paari. Kune zvokuita nemafungire ake panyaya dzokuisana. Munhukadzi ane ndebvu anofanira kuenda kuCHEMIST ondopiwa HAIR THINNING PRODUCTS zvikuru CREAM inohi EFLORNITHINE yaunoshandisa kwemwedzi yakati kuti zvisati zvatanga kushanda.

Kuva nendebvu uri munhukadzi zvinoratidza kuti pane ma HORNONE asina kumira mushe ma ANDROGEN ne TESTOSTERONE. Unofanira kukasira kuenda kuvarapi vakuongore nokuti kana uri munhu wechidiki unokwanisa kusvodza mimba kana kuita CANCER. Zvikonzero zvendebvu zvakati wandei saka enda undoonekwa.
43Kudzivirira kusuraKusura kunoitiswa nezvakawanda. Kune zvokudya zvinokonzera kusura koitazve kuti kana usinganatsi kutsenga zvokudya unoita mhepo mudumbu. Kotizve kana uchingogarodya nguva yese unoita mhepo. Ndosaka vanhu vane mumhu mukuru vachisura kupfuura vane mudoko. Ingari yokugarodya pese pese pane kudya panguva dzaunenge wave nezhara sokuti katatu pazuva.

Kana ukahwa woda kusura usadzivirira, nokuti zvinokonzera zvigwere.
Enda kuTOILET undosura zvipere. 
44Ko Bhaibheri rinoti chii pane vanhu vano na pono?Kana uchiona pono unofungei? Kana ukachiva murume/mukadzi wauri kuona mupono zvaipa. Kana ukazvitora sechidzidzo uchifunga kunoita nomurume wako pasina ruchiva, zvinokwanisa kusava nedambudziko.

Kuona pono kazhinji kunokanganisa fungwa. Zvese zvinokanganisa fungwa zvinorambidzwa muBhaibheri. Kana uchida kuona pono, onai muri mese murume nomukadzi. Asi kugaroona pono kunozikamwa kuti kunoderedza simba rokumira kwechombo kuvarume. 
45Ko vakadzi munenge muchitoda kuiswa here kana kuti munongoitira varume? Zvakangofanana nokubvunza kuti varume munenge muchitodawo here kana kuti munongoitira vakadzi. Munhukadzi anonakigwa pakuisana kupfuura murume 5 TIMES. MaNERVES ari pabhinzi yemunhukadzi akawanda chose kupfuura ari pachombo chomurume uye anodzika nemidzi miviri ye bhinzi inova yakatanyanga chitubu. Murume panopinza chombo chinokwizirira madziro emukati kunopfuura nemidzi yebhinzi. Zvinonaka chose kuiswa zvisinei kuti mukadzi atunda here kana kwete.

DNdosana munhukadzi achitanga kuchemerera kubva pakutanga kuiswa. Vanhukadzi vanofarira kuiswa kupfuura varume kuisa asi kungoti varume hamuhwisisi nyaya iyi. Ukaona mukadzi achiramba kuiswa nyaya ndeyerudo. Murume haataridzi rudo. 
46Chiii chinoshandiswa kupedza sikii pa nhengo.yemunhu rumeChokutanga kana uchiri munhu anobata siki mukore uno zvoreva kuti hauna kuchenjera zvachose. Makondhomu akatanga kugadzigwa kubva mugore ra 1839. Asi iwe hauzivi kuti ariko nanhasi here.

Kana wafungira kuti une siki kasira kundorapwa zvisanhi zvazara muviri wese uye kukukuvadza pamberi. Ukangozvika kuchipatara ukati unoda kurapwa nenyaya dzekuvatana vanokurapa zvisinei kuti une mari here kana kwete.

Asi chimboita mwedzi usingavati nomunhu. 
47Chii chinokonzera kusabata pamuviri iwe uchirara nemurume?Zvinokonzera mimba kusabata zvakawanda saka iwe unofanira kuonekwa kuti chiri kukunonotsa chii?

1 Murume asina mhodzi dzakakwana (Low sperm count)
2 Murume ane mhodzi dzakaremara
3 Mukadzi asingakandiri zai
4 Mukadzi akakoresa kana kuondesa
5 Mukadzi asina balance mukati make urume hunofa husina kusvika kuzai
6 mukadzi ane chibereko chakarereka zvokuti urume hahupindi
7 Mukadzi ane ma FABROIDS mukati
8 Mukadzi asingaendi kumwedzi.
9 Kana musingagari mese zvoreva kuti munoisana henyu asi nguva yekukandira zai pamwe hamuisani.
10 Kana machubhu anofambisa mazai akavharika
11Kana mukadzi apfuura makore 35 zvinokwanisa kunetsa. Murume apfuura 45.

Tarisa kunyorova kwe bhurugwa rako mwedzi wese. Uchaona kuti pane nguva yaunowedzera kunyorova bhurugwa kureva kuti uri kuwanza kunyorova mukati. Ukahisisa kuti zvinoita nguvai yomwedzi, pazvinongotanga iwe wokwezva murume wowedzera kuiswa uye wozama kuiswa zvinonaka kuti urume hufambe nyore kunotsvaka zai. Zvinoita nguva inopfuura vhiki.

ENDA INOONEKWA KUTI IWE SEI USINGABATI MUMBA
48Zvinorevei kana mukadzi achida kuiswa mazuva ese? Kana mukadzi achida kuiswa mazuva ese, zvinoreva kuti anoda Murume wake chose chose saka anozvipa kumurume wake kuti murume awane mufaro mumba. Murumewo kana akahwisisa kuti mukadzi anoda kuiswa mazuva ese anofanira kunuisa mazuva ese. Zvoreva kuti anofanira kudya zvakakwana uye kumwa mvura yakawanda, uyu kuita ma EXERCISE kuti muviri usimbe.  Asizve ngaagare achibvuna mukadzi wake kuti anoda kuiswa sei (maitire) uye kuti pauviri hwenyu mopota muchiisana panzwimbo dzakasiyana siyana, nguva dzakasiyana siyana.
49Mavhidhiyo ezvapabonde ndinomawana kupi? Mavhidhiyo ezvapabonde ndiwe numukadzi/murume wako munotobvumirana kugadzira vhidhiyo yenyu. Moenda pamunofunga kuti pane chiedza chakakwana kuti kana muchitora mapikicha zvinatse kuonekwa zvakanaka nevamunoda kuti vaone muchiisana.

Ongororai kuti pakanaka uye hapana zvimwe zviripo zvamusingadi kuti zvionekwe. Chitorai kamera yenyu moiturika pa ne inohi TRIPOD yakanatsa kutarisa pamuchaitira pacho. Zvadaro chitangai kuisana moramba muchiita kusvika mapedza.

Motora vhidhiyo yenyu moiposita paINTERNET. Kana muchidakuiona ipapo moitarisa muchitaurirana kuti kuisana kwenyu kunofadza here kana kuti pane zvamunoda kuwedzera. Kana pane zvamunoda moisana futi mogadzira imwe vhidhiyo.

Asi hwisisai kuti kana mukaposita vhidiyo paInternet hazvichaiti kuti muibvise zvachose. Chero mukazoidzima inoramba iripo kwemakore akawanda. Munotofa imi machembera ichingoripo. 
50Mukadzi wangu kana achigaroreva nhema ndingaita sei? Munhu wese ari panyika anogaroreva nhema. Asi kungoti pne dzimwewo nhema dzinoshungurudza. Kana mukadzi wako akakurira mumhuri yange isingatsiuri vana pamusoro pekureva nhema zvoreva kuti haatombooni kuti itsika yakaipa.

Iwe unokwanisa kumuonesa kuti nhema dzakaipa. Unomutsanangurira kuipa kwadzo. Kana asina kuzviona kuti uri kuti chii, unokwanisa kutsvaka chimwe chinhu chaanokoshesa womuudza nhema pazviri, wombomurega achishungurudzwa nazvo. Wozomuonesazve kuti nhema dzakaipa pakudii.

Kana muchigaroudzana nhema mumba, zvoreva kuti musha wenyu hauna kwauri kuenda. Kana ukaudza munhu nhema zvoreva kuti akakubvunza mubvunzo panhema dzawamuudza, unotofanirazve kureva dzimwe nhema. Saka kana watanga nhema hazvichaiti kuti usareva nhema.

Ndosaka paya taitaura kuti usanybera mukadzi/murume wako. Kana chokwadi chichigwadza, wana mukana wekuchitaura murudo kuti ahwisise.

Usaudza mukadzi/murume kuti atunda iwe usina.
Usanyebera kunakigwa iwe pasina zvinokunakira
Usaudza murume/mukadzi kuti unomuda iwe usingamudi.

Tuesday, 10 April 2018

Kubatsira vechidiki pakubvisa mimba

Pano ngationgorore nyaya dzinowira vasikana vechidiki kana vaita mimba vasingadi mimba. Takambotaura kare kuti mimba dzinodzivirigwa sei asi hatina kupedza nyaya nokuti vamwe vanozofunga nezvemimba vatove nayo votoshaya kuti voita sei. Vhiki imwe neimwe ndinonyoregwa nevasikana vachibvunza kuti vobvisa sei mimba vabereki/hama/shamwari vasingazivi. Ipapo kazhinji havana mari yokunobvisisa mimba kuvarapi. Toonazve kuti varapi mune dzimwe nyika havabvumidzwi kubvisa mimba kana pasina chingakanganisa utano hwemusikana ane mimba.

Toonazve kuti havasi vasikana chete vanotsvaka kubvisa mimba. kune vakadzi vakuru vakawanda chose vanoda kubvisa mimba, kazhinji nokuda kwenyaya dzechihure. Sokuti mukadzi ane murume asi vanogara vakatarangana. Mukadzi anokwanisa kuhura obata mimba achiziva kuti murume wake haapo saka zvinozoonekwa kuti mimba ndeyechihure. Pakadaro obva otsvaka kubvisa mimba. Boka iri ngatimbosiyana naro pano, totarise vasikana vechidiki chete.

Kana ukabata mimba uri kunyika dzisiri Zimbabwe, unokwanisa kuwana rubatsiro kumapoka akasiyana siyana anokutsanangurira nyaya yako sezvairi. Boka guru riri munyika dzakaita se Europe ne America rinohi Pro-Life. Vanhu ava maonere avo ndeekuti mimba haibviswi. Saka iwe kana uchida kubvisa zvechokwadi, tanga wanoona vanhu ava nokuti chinhu chikuru chavanogona kutsanangura kukudza chokwadi panyaya yokuti mimba inobviswa sei uye chii chinozoitika wabvisa mimba.

Havakuudza nhema pazviri. Kune mapoka akawanda chose anokuudza nhema uye kukutyisidzira panyaya yako. Ve PRO-LIFE havakuudzi nhema. Ukada zvokuenda kuvafundhisi, zvikuru vechirume, uchakasira kuhwisisa kuti hananatsi kuhwisisa nyaya yako. Vanongoda kukudzivisa kubvisa mimba kuti CONSCIENCE yavo ivaudze kuti vabatsira munhu kusabvisa mimba asi havakutsananguriri kuti kana wazozvara mwana uchaita sei naye uri wega. Vafunndhisi vakawanda chose vanhu kwavo asi kungoti vanenge vasina ruzivo pane dzimwe nyaya. Asizve kune vamwe vafundhisi anoti akatoziva kuti waita dambudziko remimba anotodawo kukukwira uku achikuudza zvokuita. Kwava nevafundhisi vakawandisa vanofarira kuvata nevanhukadzi vemuchechi dzavo.

Ukaenda kumufunndhisi ukamuudza kuti uri kuvata nomukomana wako, anokasira kukuudza kuti zvauri kuita zvakaipa asi haakuudzi kuti unokwanisa sei kuregera ugokwanisazve kuchengeta mukomana wako musingavatani asi mambojaira kuvatana.

Kuipa kwekubvisa mimba kunozikamwa chose uye takambozvitaura kare. Zvikonzero zvinoitisa munhu ade kubvisa mimba zvakawanda chose uye zvimwe zvacho ndeizvi

1 Waita mimba uchifunga kuti mukomana achakuroora asi iye haakudi
2 Murume akupa mumba ane mhuri nechekare wange uchingohurawo naye
3 Mukomana akakuudza kuti akangopinza zvishomashoma hauiti mimba
4 Wakabatwa chibharo asi hauna kuudza mapurisa.
5 Waita mimba uri mwana wechikoro
6 Murume akakupa mimba hautombomuzivi. Makangosangawo pamusika ndikutoisana.
7 Murume akakupa mimba akakupa mari kuti umubvisire bhurugwa.


Ngatibvumirane kuti mimba haabatiki ne ACCIDENT. Kana ukaisana nomukomana wako musina Kondhomu unokwanisa chose kubata mimba. Hwisisazve kuti urume hunorarama mukati mako kwemaziva mana saka panguva yese iyi unokwanisa kubata mimba kana mazuva ako ukumwedzi akanangana nokukandira kwako zai. Mimba kana usingaidi rega kuisana nevarume musinga kondhomu. Kana mukomana wako akanyebera kupfeka kondhomu akakisa asina, unokwanisa kumusungisa. Zvakangofanana nokuti akubata chibharo. Kunyika dzakaita se UK USA Europe anokwanisa kutoenda kujeri.

Nyaya pano ndeyokuti wava nemimba, zvoitwa sei? Fungwa yako yokutanga inokuudza kuti mimba handi chinhu chakana kana usina murume wekuzochengeta mwana naye. Uchafunga kubvisa. Vasikana vakawandisa vanoita fungwa idzi asoi vakawanda vavo havabvisi mimba kureva kuti vanozozvara vana. Saka vana ava vanozoita sei pasina vana baba vavo. Kune vamwe varume vanozoti mwana azvagwa obva ada kurera mwana wake onotora mukadzi kuti vachigara vese. Koita vamwe vasingadi zvachose asi musikana anongorera mwana wake zvakadaro. Kune vakadzi vakawandisa vane vana asi vasina varume. Ukatarisa  boka riya rinohi ma SMALL HOUSE uchaona kuti vanotoita mari nazvo nokuti anoudza varume kana vashanu kuti mwana ndewako. Umwe noumwe murume omupa mari vhiki imwe neimwe kuti atengere mwana zvokudya.

Pano tiri kuti tingabatsira sei vasikana vechidiki vari kufunga zvokubvisa mimba?   Kwedu kuZimbabwe nyaya dzemimba dzinotongeswa mumhuri kubva kare. Zvange zvisingaiti kuti munhu wekuzhe auye kuzobatsira kufunga. Asi mazuvano vana vava kuchengetwa naanambuya vasingarohwisisiwo kuti sei mwana achifarira kuvata nevakomana ari mwana mudiki kudai. (Makore 18)

Tingabatsira vasikana ava sei? 
Kwese kwauri iwe munhu mukuru hwisisa mafungire evana vadiki. Kana uri munhukadzi yeuka kugarofunga kuiswa kwaaiita uri pazera iri (16-25) uchigarorota mukomana wako. Kana uri murume mukuru yeuka zvawainge uri pazera iri. Waiona sei vasikana uye kuti waifungei nezvokuisana. Zvino ukaudza munhu ari pazera iri kuti musi wausina makondhomu rega kuisana nomukomana wako anoterera asi kana mukomana avapo kuti arambe kuiswa hazvitomboiti. Isu tongozoona yave mimba topopota kuti sei vasina makondhomu. Asi kumamisha uko kondhomu haringowaniki. Hakuna mamwe madzivirire angaitwa mimba. Ndizvo ndiri kuti tingabatsira sei vana ava.

Kana une mari, unokwanisa kutengera musikana waunoziva kuti ava kuvata nomukomana wae makondhomu asi kana hama dzake dzikaziva, uchaudzwa kuti ndiwe wakakurudzira mwana kuita chihure.

Kana musikana akaita mimba ukada kumutora nemota yako kana bhazi ukaenda naye kwachiremba, unokwanisazve kuhi ndiwe wakaudza mwana kuti abvise mimba.

Kana ukamupa mari yebhazi kuti aende kwaChiremba Zvakangofanana. Unongohi ndiwe wakakanganisa mwana.

Zvino kwedu kumusha kuMasvingo uko ndakawana kwava ne PROGRAM yokuti pa kiriniki yekumusha nurse aripo anobatsira vasikana kuhwisisa kuti kubvisa mimba kunokuvadza sei uye ngazvisaitwa pasina varapi.  Iyi inyaya yandinoona sokuti inobatsira vakawanda zvokuti dai takurudzira kuti varapi vekumakiriniki ese vava vanhu vanobatsira saizvozvo. Tiri vanhu vakawanda chose vanoshanda kuzhe kwenyika. Ngatibatsirei vanasikana venyika yedu kuone miono yakabudirira.

Mimba hainetsi kubata. Asi kana waibata nhamo yako yatotanga kana magarire ako asina kuti tasa. Kana umwe wedu abata mimba ngatisangomuseka pasina zvitinomubatsira nazvo. Kubvisa mimba chinhu chine chiremera chose. Pano takato hatiudzi vamwe kuti zvinoitwa sei.  Saka tiri kungotsvaka kuti vakuru mubatsire vana kana vaita dambudziko rokuda kubvisa mimba.

Unokwanisazve kundotaura nemukomana wacho. iyewo anenge achitotya kuti oita sei nokuti kazhinji haanawo chaanacho saka kuroora hazviiti.

Mwana wehazvanzi yangu akaita mimba ari kuUniversity, akambozama kutsvaka kubvisa mimba zvikakona. Akazokwanisa kufonera baba vake vakakwira mota yavo vakanotora mwana wavo pa weekend. Vakafona ndikaita nya navo kuti musapopotera mwana uye regai apedze chikoro. Mai vemwana vakashaika ari mudiki. Iko zvino akapedza chikoro akazoroorana nemukomna wake iyeye vava nevana vaviri. Hadzisi dzese dzinopera dzakadai asi isu vakuru ngatizame kubatsira vasikana vechidiki.

___________________________________________________________________

Kana wakambotsvaka kubvisa mimba kana kuti wakatobvisa kana kuti uri kuda kubvisa pari zvino, ndinyorere uchitaura kuti chikonzero chako chii. Kana uri murume ari kukurudzira mukadzi/musikana kubvisa mimba, nyorawo uchitaura chikonzero.

Tichaenderera mberi nenyaya iyi tichibvunza kuti tingabatsira sei vasikana/vakadzi vanoerekana vava munyaya yemimba dzavasingadi.

Monday, 2 April 2018

Vaya vanofarira kuhura

Kana uchigona kuverenga chirungu Please verenga naya iyi uihwisise zvainoreva paupenyu hwako nemaitire ako panyaya dzokuhura.

GONORIYA ISINGARAPIKI YAVAKO                            Zviverengere  wega

Utachiona hunokonzera zvigwere zvechihure hwajairira mishonga yange ichishandiswa pakurapa zvigwere izvi. Saka nyaya yavapo  ndeyekuti utachiona huya hauchafi kana mugwere apiwa mishonga iyoyi. Pava kudiwa mishonga mitsva asi haipo saka pari zvino zvinokwanisika kuti chigwere chako hachirapiki.

Ndinogaroudza vakawanda kuti CHIHURE CHINOURAYA. as havatereri nokuti havitombohwisisi kuti nyaya chaiyo ndeyei uye sei ndindichti vanhu ipanai zvese zvamunoda mumba menyu pauviri hwenyu muchirera mhuri yenyu muri vapenyu uye muchivimbana panyaya dzokuhura.

Ukapoya ukanobata chigwere, zvinonetsa vakawanda kudzoka kumba woudza umwe wako kuti wambopoya. Saka unouya nechigwere kumba wopa umwe wako mese mava nedambudziko. Zvinoitikazve kuti kana munhu akatanga kuhura, chimwe chezvinoratinda kuti munhukadzi ari kuhura, kuwedzera kuda kuiswa, zvoreva kuti anoiswa nomurume kakawedzera uku achiiswa nechikomba futi kakawedzera. Iri ngari yokuti EXCITEMENT iya yokuva nechikomba inowedzera zemo. Apa zvoreva kuti urume hwechikomba nehwemurume hunowanda mukati make. Tinoziva kuti urume hunogara mazuva matatu kana mana kubva pamunoisana kusvika chitubu chomukadzi chazvisuka kubudisa hwasaramo. Saka apa murume nechikomba venge vachingodira urume, huchinovhenganamo umwe huchivhinza.

Kana chikomba hikaita chigwere mese musi vatatu moita chigwere. Kana murumewo achihura negwseri akaita chigwere, mese muri vana moita chigwere. Kana chikomba chine mukadzi kumba murumewo ane hure rine murume kumba, mese muri vashanu moita chigwere. Hino kana chigwere chenyu chiricho cheizvo zvava kunetsa kurapika, matova panyaya yakaipa.

Tinoziva chose kuti kune vanhu vanonetseka kurega kuhura. Asi kuhura chaiko chero kwakaipa hako kunokwanisika kuitwa pasina anobata chigwere. Kana uchihura noumwe munhu, zvikuru munhu iyeye ane murume/mukadzi kumba kwake, usafunga kuti ndiwe wega uri kuhura naye. Iwewo kazhinji ukatanga kuhura hauhuri nomunhu umwe chete.  Saka zviri nani itange imwe tsika yokushandisa makondhomu.

Makondhomu anobatsira panyaya mbiri dzinoti kudzivirira zvigwere, nokudzivirira mimba. Ngatihwisisei kuti kana ukasangana nomunhu awaichimbovata naye mukawana mukana munokwanisa kuisana futi. Vanhu vakawanda vanohura novanhu vavaidanana navo kare kana kuti vavashamwaridzana nabo kare paushamwari. Zvikuru mukasangana wava nenguva usina kuvata nomunhu, sokuti vhiki, iwe wange wajaira kuvata nomurume/mukadzi wako kumba kwenyu.

Zvinozikamwazve kuti vanhukadzi vanowedzera kuhura (kana vachigarohura) pa vhiki yechipiri vachangobva kumwedzi, inovazve ndiyo nguva yokubata mimba. Kureva kuti ukashandisa kondhomu, unohura hako asi hauiti mimba.

Mukadzi wemuraini ari mwana, anoonekwa ari munhu ari ATTRACTIVE chose kuvarume vemuraini. Kazhinji anopedzisira achihura naBaba nhingi, navamwezve Baba nhingi muraini renyu. Ukuwo murume akangoroora chete, vasikana vakawanda vanotanga kumuona somunhu akatsiga voda kumukwezva. Kana ari munhu ane meso meso haanonoki kutanga kuhura.

Chihure chazara muvanhu vedu, zvikuru kumadiaspora kusina hama dzinotsiura. Apa tiri kuti hatigoni chose kukuregesa kuhura asi tokumbirawo kuti kana wada zvokuhura hwisisa kuti kwava nezvigwere zvechihure zvausingakwanisi kungoenda nazvo kuSPECIAL CLINIC uchinopedzerana navo ikoko. Hazvicharapiki sezvazviita kare.

Kwagara hako kune zvigwre zvakaita se HIV ne Syphilis zvinobata muviri wese zvese nefungwa, asi vanhu vaisaita basa nazvo vachingohura vasina makondhomu. Tiri kuti zvigwere zvakadai zviri kuwanda imiwo kuhura muchiwanza, saka muchasvikepi nazvo.

Kanna nyaya yako iri yokuti mukadzi/murume wako haakugutsi, taura naye muhwisisane mutange imwe REGIME yenyu tsva yokuti muzame kugutsana. Kana zvatadza iwe ukaona sokuti zviri nani upote uchienda kumvana yemuraini nokuti ine chiuno chine unga, chipfuura nepa chitoro uchitenga makondhomu ako akakwanirana neokuti muchaita kangani uriko. Kana ukatenga akawanda wochisiya ikoko kuti musazoshaya. Asi hwisisazve kuti vamwe varume vachadawo kuashandisa pamvana iyoyo.

Iwewo mukadzi kana murume wako asingakugutsi ukataura naye akasaterera zvokuti chihure watadza kuregera, chihwisisa nyaya dzezvigwere iyi kuti kana wondohura nechokumba chako shandisai makondhomu.

Hwisiasizve kuti pakuisana panoitika zvinhu zvakawanda chose. Pakuisana nomunhu wairi kuhura naye kazhinji panoitika zvakawanda kuphuura zvinoitika kumba. Zvigwere zvimwe zvineutachiona hunofa kana hwasangana ne Mate, humwe haufi. Saka iwe pakusveta chombo chechikomba/kusveta bhinzi yehure rako, hwisisa kuti chii chiri kuitika. Zvinonaka chose asi zvigwere zvaunokwanisa kubata mazuvano zvinokwanisa kutadza kurapika.

Zamai kurega kuhura muzame chose kuwana zvese zvokuisana kumba kwenyu. Asi kana shavi rokuhura rakudzivisa chose kurega kuhura, chikasira kundotenga Makondhomu. Hwisisa kuti Zemo rine simba kupfuura njere.

Ngatihwisisezve kuti mazuvano mhomho yevanhu vanofambafamba mumadhorbha akawanda uye kunyika dzakawanda. Pamwe unombosiyana nomukadzi/murume wako kwekanguva muri kunyika dzakasiyana. Kuhura kwava nyore nokuti hakuna anokuona. Iwe wega ndiwe unoziva kuti wahura.  Pakadai shandisa makondhomu. Nyaya yandakutaridzai iyo murume akaenda kune imwe nyika akanodzokako ava nechigwere chisingarapiki nyore. Zvinoita sokuti akadzoka akapa mukadzi wake. Bodo handizvo veduwee. Regai kuhura/shandisai makondhomu.

Kana uchikwanisa kuti pakufamba ufambe nokurume/mukadzi wako fambai mese. Ndizvo zvinotonakidza chose. Kuisana muhotera kana kuti panzvimbo isiri kumba kwenyu zvinonaka chose zvokuti kana mari iripo fambai mese kwamunoenda.

Chikuru pano ndechokuti kana murume/mukadzi wao ari pasi pemakore 80 ziva kuti munhu anoda zvokuisana. ibasa rako kugarovata naye pauviri hwenyu. Pese paunonyima murume/mukadzi wako hwisisa kuti zvinoderedza CONFIDENCE yake pakuziva kuti ndiwe wega unomupa. Anotanga kufunga kuti kune vamwe vanokwanisa kumupa. Usazviitira nyaya mumba mako. Kana wakaneta vata nedumbu murume akushande nokumashure iwe chero ukangoti kwindi sehove yakafa, murume anowana chokubata.  Murumewo kana wakaneta, ipa mukadzi chombo atambe nacho kusvika chamira. Chivata nomusana mukadzi akutasve oshanda ariye iwe zii zvako wakangibata magaro emukadzi wako iye ari paSHIFT. Ngatitarisiranei pane zvatinopanana mumhuri dzedu nguva dzese.

Kana zvichikwanisika usaisira mabhinya nenhubu mukana wekupindira panyaya yako.

Ndatenda chose nokuhwisisa kwenyu vaverengi

TARISAIZVE apa
Ongorora nyaya yevarume vanopota vachihura nevamwe varume. kwahi hwisisa kuti maBacteria akasiyana. Ponza chombo mune umwe murume une Kondhomu kana wada zvechingochani, zvikuru kana une mukadzi kumba. hwisisai kuti kwedu zviriko. Regai chihure kana zvisingaiti hurai nemakondhomu.

Udzai vamwe!!!!!

Saturday, 31 March 2018

Fambai zvakanaka pano pa EASTER

Kana uchifamba gwendo zvisinei kuti uri kuendepi pano pa Easter, hwisisa kuti kune vakawanda chose vari kumwa doro kana kusvuta mbanje vachidhiraivha mota dzavo. koitawo vamwe vanodhiraivha mabhazi azere vanhu asi moyo yavo isiri pachinangwa chikuru chokusvitsa vanhu kwavanoenda.

Kana uri mubhazi, mumota, kana muGonyeti, kana mungoro, kana ndege. zama kuti dhiraivha asamhanyisa mudziyo uye atarise kwamuri kuenda. Vamwe muri pamugwagwa kwenguva refu muchibva kune dzimwe nyika. Potai muchozorora veduwee. Kana ari kumwa doro mumota. muudze amire uburuke.

Ngatisahwa nyaya yenjodzi pazoro reEASTER iri rinova zororo rakanaka rezvipo zvoupenyu. Haisi nguva yokuurayana.

Famba zvakanaka kuenda nokudzoka.

Makakatanwa mukadzi negero remurume

Nyaya iri pano yabva pamubvunzo wekuti "Ndoita sei kuti murume wangu adzoke kumba kubva kuSmaro hausi kwaanopota achienda? " Mubvunzo uyu unotaridza kuti mukadzi anoziva kuti murume wake ari kuhura asi anoona sokuti pane zvaanokwanisa kuita kuti murume arege kuenda kuhure rake.

Mafungire awa anobva pakufunga kuti umwe wangu pane zvandakaita zvakaitisa kuti atange kuhura saka zvinoreva kuti pane zvandinokwanisa kuita kuti asahura. Zvinotaridza kuti mukadzi anofunga kuti kuhura kwemurume wake kwaitiswa nezviito zvake. 

Tichitarisa mafungire awa tinofanira kuzvibvunza kuti maitire api angakonzera kuti murume wako atange kuhura iye ange asina hanya nokuhura.  Ngatimbofunga kuti chii chingakonzera murume asingadi kuhura kuti atange kuhura. 

1 Kushaya rudo mumba: Vanhu vakawandisa, zvese varume nevakadzi vanoshurikigwa nokushaya rudo mumba. Tinozivazve kuti ndicho chikonzero chikuru chinohurisa vanhukadzi. Kune varumewo vanomboshinga nokukudza muchato asi kana mumba musina rudo, anongopedzisira apoya. Kupoya kwake kunobva pakuudza shamwarikadzi nhamo yake. Uya nyakuudzwa kana asinawo murume anotanga achipa munhu zheve, opedzisira ava kupa munhu zvimwe zvakawanda. Kana uchifunga kuti hapana anokuda, ukawana umwe munhu anokutaridza rudo, muedzo uripo wekuti uterere zvaanokukurudzira kuita wakakura. Saka kusapa murume rudo kunokwanisa kukonzera kuti azopoya.

2 Kusaremekedza zviitiko zvemumba: Kubvisa denga remba kuti vanhu vese vaone zvamuri, kunokonzera kuti murume achirega kukuudza zviri pamoyo pake uye zvaari kuita kana usipo. Anenge achitya kuti akakuudza, iwe woenda pa WATSAPP wotanga kuudza shamwari dzako idzowo dzoudza shamwari dzadzo, murume ozosara kufamba enge munhu asina kusimira. Kana murume akatanga kusakuudza zvinhu, zvoreva kuti COMMUNICATION yenyu yadzikira. Iwewo ukahwisisa kuti murume haasi kukudza, ucharegawo kumuudza mopedzisira musisaudzani. Kuva mumba nomurume kunoda chose kuti muve shamwari neshamwari pakati penyu. Kana musiri kushamwaridzana chasara pakati penyu chii. Zvese zvasara zvinobhowa kuzviita saka ari kupa murume wako EXCITEMENT ndiani?

3 Kusaterera murume achishora zviito zvako. Murume haatangi nokushora zviri pachena, zvikuru kana muchishamwaridzana. Anotanga kutaura nechibhende kuti uterere uite zvaari kuona zvakaipa. Sokuti hausi kugeza zvakanaka, uru kundovata muviri une hwema. Murume anokwanisa kukutaridza kuti pane chakaipa. Iwe ukazviita sezvisina mature, hapana chaunohwisisa. Munhu gara uchipa murume wako zheve kuti ataure zvaanoda iwe uchiterera uchiita zvaanoreva.

4 Kuzvipa kumurume wako. Kana une murume, hwisisa kuti mava vaviri mumba.  Zvinangwa zvenyu ngazviwane pazvinosangana zuva nezuva. Unofanira kuhwisisa kuti pakunovata muviri wako ndewemurume wako. Wakewo ndewako. Hwisisa kuti munokwanisa chose kusiyana pakuda kwenyu kuisana. Kana ukaona sokuti murume wako anofarira kuvata newe zvakawandisa kupfuura zvaunofunga kuti anofanira kuda, wana mukana wekuti murume avate newe paadira kwete kutanga kufunga nezvaunoda iwe.

Hwisisa kuti muviri wemunhu unoita zvaanoda kuti aite. Kana ukatanga kwedzera kuvata nomurume wako, muviri wako unotangawo kuda kuvata nomurume zvakawedzera. Hakuna munhu anoroorana nomurume agowana kuti vese vakaenzana pakuda kwa vo kuvatana. Kuti musapokana panyaya iyi iwe mukadzi ndiwe unoita zvinoda murume.  Kana ari munhu asingadi zvikuwanza kuvata newe, wana mukana wekuenzanisana naye.

5 Tsika yokunyima murume: Pane vane tsika yokuti mukatukana mumba mukadzi ofundumwara vhiki yese achivata akafuratira murume. Maitire akadai anokonzera kuti mumba mushaye mufaro nguva refu. Kana murume akakutsamwisa pane zvaataura, inyaya yefungwa kwete yomuviri. Muviri ngauvhugwe murume akutaridze kusafara kwake newe. Garitdza murume kuti ndiwe mukadzi mumba. Uchazoona kuti musi waanotsamwawo haakufuratiri vhiki yese. Hakuna kutsamwirana kunosvika kuBEDROOM. Kana monovata siya nyaya dzese kuKICHENI uko wogeza semazuva ese woisira murume mvura yokugeza, mupinda mumubhedha wenyu. Kana murume achakakutsamwira iwe ndiwe unotanga kumutaudza, kwete kumirira kuti iye ataure.

Asizve kune varume vanofunga kuti mukadzi ane mimba haavatwi naye. Iwe tsanangurira murume wako. Kana une mimba ukasavatwa newe, uchanetseka chose pakuzvara. Kugaroiswa une mimba zvinobatsira pakuzvara uye zvinokudzivirira kubata zvigwere zvakati wandei. Hapana chakaipa kuisana chero kwasara vhiki kana mazuva maviri kuti uzvare. Munongoona kuti maitire enyu murume haakutsimbiriri dumbu. Mimba inodzivaidza asi kana murume wako aripo achigaroisana newe, zvinoita nani.

6 Kubika mumba: Hwisisa zvaigarobikwa namai vake ugokwanisawo kugarozvibikira murume. Kune varoora vakawandisa vanotadza kuhwisisa nyaya yokugara pedo namai vemurume pamafungire. Muchato wako kazhinji uri mumaoko amai vemurume wako. Kana ukahwisis kuti mai ava vanofungei pamusoro pevana vavo, uchahwisisa kuti chii chakanakira murume wako. 

7 Nyaya dzemari mumba: Kana usina kumboita BUDGET yemumba, usabvuma kuchata nomurume. Mukadzi ava munhu mukuru anofanira kuhwisisa nyaya yokushandisa nokuchengetedza mari mumba. Nyaya iyi ndiyo nyaya yamunofanira kubvumirana pairi musati maroorana. Kana mukomana wako ari munhu anoda kuita BUDGET ega. usbvuma kuroorana naye nokuti uchanetseka naye.  Iwewo usatora mari mumba uchinopa hama dzako murume asingazivi. Usatenga zvinhu zvisina maturo murume asingazivi. Usatenga zvinhu zvisina kunyogwa paBUDGET yenyu uchishandisa mari iri paBUDGET.  Kana pane chawada kutenga tanga wachengetedza mari kusvika yakwana kutenga chinhu chaunoda, murume achiziva kuti ndizvo zvauri kuita. 

Nyaya yemari inyaya inopokanisa vanhu nokukasira uye inozonetsa kugadzirisa nokuda kekuti murume anokuona somunhu asina kuvimbika. BUDGET yako ndeyemusha wako samai vemba. Pane zvimwe zviri kuzhe, isai pa BUDGET kuti munopota muchiisa mari muchigaba yokuti zvimwe zvazouya musingafungiri zvibhadhagwe. Sokuti hama dziya dzinongoerekana dzauya dzichizoda mari yebhazi kudzokere. Chengetai kamari sokuti 5USD pamwedzi inoonekwa pa BUDGET yenyu. 

_______________________________
Zvese izvi zvinotadzisa murume kuhura here?
Kana ukatevedzera zvese izvi, murume anorega kuhura her? Ngationgorore kuhura kwevarume Kune RESEACH yakaitwa ne UNITED NATIONS vachitarisa kuti chigwere che HIV chinokwanisa here kumiswa, vakaona kuti kune varume vanoita makumi matatu muzana, (33%) yevarume, vanoti chero zvodii vanohura. Kana ukaroorana noumwe wevarume ava, hazviiti kuti asahura. 

Kuhura kwevarume vazhinhi veboka iri kunoitiswa nokumhura munhu waunaye, zvisinei kuti uri munhu akaita sei. Kazhinji iye haatomboiti hanya newe kana awana munhu wekuhura naye. Haana hanya nezvaunofunga. Kana abva pakuvata nehure rake asina kana kondom chairo, anouya kumba kagovata newe asina kana hanya nokuti uri mai vevana vake, kana kuti akachata newe pazere hama dzake nedzako. Haana hanya newe, haana hanya nehama dzako nedzake. Kana vana vake chaivo haana hanya navo.

Varume vakawandisa vanoti kana atanga kuhura, hazviiti kuti akwanise kuregera EXCITEMENT yacho haikwanisiki nomunhurume kuiregera ichienda yega pasina chaaita. Kana ukamubvisa pahure raanaro izvozvi. Hakupiti nguva refu asina kuwana rimwe.

Kozita vamwe varume vashomanana vanohura asi vachihuriswa nokushaya CONFIDENCE, sokuti anofunga kuti hapana munhu anomuda. Ipapo iwe ndiwe une mhosva yokusataridza murume rudo. 

Kana murume wako akashaya rudo mumba, akawana munhu anoterera nhamo dzake anobva afunga kuti rudo oteverera. Hino hwasisa kuti mhandu yomukadzi mukadzi. Vanhukadzi akangowana murume asina mufaro kumba kwake, anobva afunga kuti anokwanisa kupa murume iyeye mufaro. Murume ane mukadzi kumba anoonekwa somunhu akatsiga anokwanisa kuriritira mhuri saka mvana dzese dzemuraini renyu dzinoda kukwezva murume wako.

Murume akadai ndiye murume waungabvunzira kuti “Ndoita sei kuti adzoke kumba?” Pane zvaunokwanisa kuita. Asi usati watanga kuzviita, bvunza murume wako kuti chii chaitisa ade kuva nehure iwe uripo.

  1. Usapopota.
  2. Usachema,
  3. Usamubvunza vana varipo
  4. Usaudza hama dzake kana shamwari dzake
  5. Usamutevera kuhure rake achiziva kuti uri kutevera
  6. Usapopotera hure rake.
  7. Usamupa mhosva.
  8. Usamudza HISTORY yekumuda kwako
  9. Usamuudza zviri mumoyo mako panyaya iyi. Rega apedze zvase. Ukangoti zii uchadzidza zvakawanda.
  10. Ukatanga kukwikwidzana nomuhure wemurume wako hauhwinhi nyaya yacho. 

Ingobvunza murume wako kuti chii chawamukanganisira zvokusvika pakuti ade kukuitira zvakaipa. Terera achitaura kana ada kutaura. Zvikuru kana akaziva kuti abatwa, anotanga kukuverengera mhosva dzako nedzimwe dzawange usingafungi kuti unadzi. Terera chose panguva iyi nokuti ndipo chete paanotaura chokwadi. Kama mazova pakutongesana haatauri chokwadi. Terera zvaanopopota nazvo. Anosimuka agokunongedzera nechigumwe achipopota kuti haumubati zvakanaka. Usapokana naye. Rega ataure apedze iwe terera.

Kuzobva ipapo kana uchimuda yeuka zvaakataura musi uyu. Uye dzidza kushamwaridza nomurume wako. Kopopota hakuna chinoshanda. Kana uchichema chema hako wega kupedza shungu. Kumuchemera iye hakushandi.

"Ndoita sei kuti murume wangu adzoke kumba kubva kuSmaro hausi kwaanopota achienda? "

Hwisisa kuti chii chaita kuti murume wako ahure. Kana wahwisisa Ziva kuti zvoitwa sei kubva kumurume wako.

Tuesday, 20 February 2018

Mibvunzo nemhinduro 15

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 14 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 14. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 14, 13, 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO
Ndatenda



Mubvunzo

Mhinduro

Musikana wandange ndichida kuroora akabatwa RAPE usiku aburuka bhazi.
Zvinoita here kumuroora?  
Ndineurombo chose kuhwa kuti umwe wako akabatwa chibharo. Ndinovimba kuti uri kumusapota. Kubatwa chibharo chinhu chakaipa chose kuitika kumunhu chero upi zvake. Ndinovimba kuti makanotaurira mapurisa uye munhu akazviita achabatwa.

Pamubvunzo apo handina kuhwisisa kuti fungwa yako iri kukuudza kuti kudii nezvokubatwa chibharo kwemusikana wako. Uri kufananidza kubatwa chibharo nokuhura here kana kuti uri kufunga kuti kana munhu abatwa chibharo haachakodzeri kuva mukadzi wako? Nhubu dzinobata munhu chibharo hadzinei kuti musikana kana kuti mukadzi wemunhu.  Ko dai akabatwa chibharo matoroorana waizobvunza mubvunzo wako uchiti kudiiko?

Chokutanga sapota munhu panguva yakaoma yaanayo. Chechipiri mubatsire kunoonekwa nevarapi uye kuona kuti haana kukuvadzwa here kana kupiwa chigwere chaange asina.  Zvadaro ratidza rudo nguva dzese kuti ahwisise kuti haisi mhosva yake.

Kana wange wagara uchimuda zvoreva kuti unomuda saka nyaya yaitika iyi hainei nokudanana kwenyu kana kuronga kuroorana kwenyu asi kungoti munofanira kundoongorogwa panyaya dzezvigwere.  Pakati penyu ndiwe uchataridza kuhwisisa. 
Zvinotyisa here kutanga kuita bonde nemukomana? Ko kana ane chinhu chihombe zvakanyanya? Hazvityisi. Usagara uchityiswa nazvo asi hwisisa kuti kana watovata nomukomana ukabviswa humhandara hazvichakwanisiki kuti uve mhandara kune umwe mukomana wauchavata naye. Zviri nani kumirira kusvika wava nemukomana anoda kukuroora.

Kuvata nomurume asina hanya newe zvinotyisa kupfuura kuvata nomurume anokuda chose asi ane "CHINHU" chikuru. Kuva nechinhu chikuru kana muchihwisisa nyaya yokuisana hazvina chazvakaipa asi kungoti iwe mirira kusvika wanyorova zasi kuti zvisanyanyogwadza.

Varume vakawanda havana chombo chingahi chakakurisa. Chinenga chiri pakati pe 12 cm ne 17 cm kana chimire choita 10cm kusvika pa 15 cm kukora.  Kana wakanatsonyorova uye murume achiterera zvaunomuudza chombo chinokwana zvakanaka mukati mako.  Mazuva okutanga hazvinatsonaka asi zvinowedzera nenguva.  Usatyiswa nazvo. Itya zvigwere zvechihure. Kana musina kuroorana shandisai makondhomu nguva dzese.
verenga apa
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/saizi-yechombo.html

Please, matinji angu akakurisa kwete kureba asi kukora kunge akazvimba iwo asina.  Zvoita sokuti panhu pangu pakakurisa. Zvinogadzirika here? Kana zvisingakugwadzi hapana dambudziko. Umwe noumwe ane matinji akasiyana neeumwe, mazamu edu akasiyana, Magaro akasiyana, makumbo akasiyana, kumeso kwakasiyana, kureba nokukora zvakasiyana. Harisi dambudziko asi kuti ndiwo maumbigwe akaita vanhu.
Kuti uzofunga kuti ako akakurisa waona aaniko? Ko iyewo ari kufungei? pamwe ari kutozvishusha kuti ake madiki.

Ngatisazvipa kufunganya panyaya dzisina maturo veduwe. Ukabvunza murume wako pamwe ari kutofara chose nematinji ako. Zvino iwe ukachanja zvaakaita, zvzodii? 
Ndingadii kuti murume anakigwe pakus***ana? Taridza kuda kuisana nomurume wako pese paada iye uye kana akaita nguva refu asina kuratidza kuda (sokuti 12 hours) muudze kuti uri kuda kuisana.
Kana mava kuisana terera murume wako, mubvunze zvaanoda. Shamwaridzana nechombo chake. Jaira kuchibata uchichinangisa pachinopinda uriwe. Jaira kugarokwira murume nokusununguka kushansa chiuno pakugamuchira chombo muchiisana.

Siyanisa maitire enyu kwete kungodzokorora zvimwezvo. Kana muri mega zvisinei kuti inguvai, udza murume kuti uri kuda kuiswa, moisana. Murume ngaagare ane CONFIDENCE yokuti akada anowana. 
Pane kubata murume wako kuti asahura kwandingaita here? Kuhura kwemurume hakunei nokubatwa kwake mumba. Kunoitiswa nokusada munhu kana kuti kumhura munhu waanaye mumba kusaona sokuti munhu akakodzera kuva mukadzi wake. Hapana chaunokwanisa kuita kuti murume wako asahura kana ari munhu asina hanya newe.

Kuhurirana chinhu chakaipa chose asi zvinoitika. Ukaona murume wako ahura, hazvichaiti kuti azoregera kuhura. Zviri nyore kuti murume aregera fodya kana doro pane kuti aregere kuhura. Kuhura kuita mhunhu kafira mberi. 
Mushonga  wekuti ndinhuhwirire kuzasi unowanikwa kupi? Kugeza nesipo nemvura inodziya chete chete ndizvo zvinoitwa kuzasi. Usagaropfapfaidza zvimwe zvima Perfume zasi uko. Chinodiwa kuti usaita munhuhwi wakaipa. Asi munhuhwi wakaipa unoitiswa neutachiona (BACTERIA). Kamwe chete pavhiki geza zasi ne VINEGAR asi usaisa mukati. Unongogeza pakatenderedza bhinzi, wozvibhenengura bhinzi yova pachena wogeza ne VINEGAR wombosiya zvadaro, wozogeza nemvura nezipo.  Gezazve muhapwa, muzvidya, pakati pemagaro, kuseri kwezheve, pasi pemazamu, zvese neVinegar kamwe chete pavhiki. Zvinoitisa muviri wako usaita hwema hwakaipa (BO). Hwisisa kuti iwe muridzi kuna une BO, hauzvizivi. Zvinohwikwa nevamwe.

Usaisa mvura mukati mechitubu chako. Usapinza zvinhu mukati. Munongopinzwa TAMPON kana chombo chomurume chete chete. Ungakuvadza maMEMBURANE ari mukati kana kukanganisa BALANCE yema CHEMICAL arimo. Munhu kadzi wega wega ane munhuhwi wake wakasiyana newevamwe. Munhuhwi uyu unobva paberi uye varume vakaunhuwidza havanatsi kuziva kuti vaunhuwidza asi chombo chinomira nezemo. 
Ndinorwadziwa pakurara nomurume.  Chii chikonzero? Kugwadziwa pakuisana kunokonzegwa nezvinhu zvishomanana zvinoti:
1 Kusanyorova: Kune vasinganyorovi pakugadzirira kuiswa. Kana uri umwe wavo zvinoreva kuti unofanira kuhwisisa chiri kukuitisa kusanyorova. Pane zvinokwanisa kuitwa kubatsira vasinganyorovi asi chokutanga kutenga inohi KY jelly woizora pachombo chomurume asati apinza chombo.

2 Kana une INFECTION zvinogwadza kupinzwa chombo. Kana zvichangatanga kuitika hwisisa kuti unokwanisa kunge une chigwere chechikadzi kana kuti wakapia chigwere nomurume, kana kuti kana wakambofambafamba unokwanisa unge wakachibata kuzhe.

3 Unokwanisa kunge une chigwere chokutya chombo chinoita kuti usarerusa muviri pakuiswa. Zvinoita kuti ugwadziwe. Kana zvirizvo pane zvinokwanisa kuitwa nevarapi asi vamwe varapi havana hanya nazvo saka vanongoti dzokera kumba hauna dambudziko. 
Chii chinonzi kutizira?Kutizira : Kana ukavata nomukomana asiri murume wako iwe uri musikana asinawo murume, Mukasashandisa Kondhomu uye iwe usiri kumwa mapiritsi okudzivirira mimba, ukaita mimba. Pamutemo wechivanhu ukaudza mukomana kuti une mimba yake, akakuramba, unofanira kutizira kumusha kwake kubva kuvabereki vako.

Wasvikako woudza mhuri yake kuti une mimba yemwana wavo. Ivo vodana mwana wavo vomubvunza kuti anoyeuka here kuti makamboisana. Kana akabvuma zvapera iwe wotogarako watove mukadzi wake. KUnodiwa kundodaidzira kuti "TSVAKIRAI mwana wenyu kwedu." Pochitanga nyaya dzokuroora kana kuti mukomana asingakudi mhuri yake yobvisa DAMAGE. 
 Mapundu kumeso zvinobviswa sei?

Ndebvu kumeso dzinobviswa sei? 
Kana une mapundu, vamwe vanoti manheru kana woenda kunovata, zora COLGATE kana imwe TOOTHPASTE, worega yooma, wovata zvakadaro. Mangwana wofumogeza, manheru wozorazve COLGATE.

Handizivi kuti zvinoshanda kusvika papi saka ukazvizama, ukaona zvichishanda ndokumbirawo unditumire mwadhi kuti wazvionawo se. Vamwe vanoti kamwe chete zvinoita.

Ndebvu pamunhukadzi dzinoda kuenda kumunhu ane muchini unoita "Electrolysis"
10Kukwira mukadzi asina matinji kwakaipa here?Hakuna mukadzi asina matinji. Vese vane matinji asi kungosiyana saizi yawo chete. Vamwe vane madiki chose zvokuti ungaona sokuti haana asi bodo aripo kungova madiki chete.

Pakuvatana hapana siyano ingahi iripo nokuti matinji makuru kana kuti madiki. asi pakutamba nawo ndipo murume angahwa pakubata kana kuaona kuti mukadzi ane makuru kana madiki.  Mapedza kutamba, hapana siyano kana chombo chapinda mumukadzi.

Kungoti pachivanhu chedu tinoda kugarotaura nenyaya yematinji. 
11Kumutsa chombo chomurume kunoitwa sei. Kumutsa chombo hakunetsi kana murume ane utano. Kungopurudzira magaro emurume kana kumusveta minyatso, kana kumupurudzira zvidya sezvavanongotiitawo isu varume.

Kungozevezera muzheve yemurume kuti une zemo chete zvinomisa chombo chake nokukasira. Chombo ndicho chinhu chisingambonetsi mumutsa. 
12Murume kuti anzi agutsa mukadzi pabonde zvinenge zvamboita sei chaizvoHakuna umwe munhu anokwanisa kufingira mukrume wemunhu kuti agutsa mukadzi wake kuzhe kweiye mukadzi wake. Saka kana uchida kuziva kuti mukadzi wako aguta here kana kwete zvinotori nani kubvunza iye mukadzi asi sokuziva kwangu kuti ndifunga kuti ndaguta zvinobva ne MOOD yandiri pakuisana kwedu. Pane musi wandine zemo zvokutoda kutundiswawo pota musi wandinongoda kuhwa chombo chiri mukati nokuva pedo nomurume wangu zvisinei nokutunda.  Saku kuti ndihi ndaguta ndenge ndaita zvandiri kuda ipapo.

Pamwe unotanga usinei nokutunda asi pakukoirana kwenyu fungwa yofunga zvimwe zemo rokwira zvokubva wada kukutunda Kana murume akatunda usati watunda unozvipedzisa nemaoko. Murume akakasira kuona kuti hauna kutunda asi uri kuda anokwanisa kukusveta minyatso, guvhu, mutsiba, zheve, uku iwe uchizvikwiza bhinzi nemaoko wobva wakasira kutunda.

Kuguta kwemudzi kunosiana zuva nezuva.
13Mukadzi anoshusha murume chikonzero chii? Chikonzero chikuru kushaya kuiswa kwakakwana uye kuhwa sokunge murume wake haamudi zvakakwana.  Mukadzi anogaroiswa kushusha kwake kushoma. Chake kungoda kufidha murume wake chete. Mukadzi wechidiki sokuti makore ari pasi pe 30 vakawanda verudzi gwedu vanoda kuiswa kaviri paziva kana kupfuura. Muchangoroorana munokwanisa kusvika kuma 18 pavhiki. Inohi BONDING PERIOD.

Kunozoti majairirana moita kuma 12 and 14. pavhiki.
Mukazito makore kana mashanu mochiita kuma 8 pavhiki asi QUALITY YAVHO inenge yawedzerawo zvokuti mukatanga kuisana mune nguva yacho unotunda kaviri kana katatu murume asina kutunda. Zvinonaka zvokuti kana usina chiri kukudya moyo.

Kana akakusveta bhinzi unokwanisa kutanga watunda asina kukupinza chombo. Ukazovata nedumbu iye okupinza nekumashure, ukasimudzira chiuno, pansvika pekuti anonogofa mudzi webhinzi mukati mako ugotunda futi.

Hakuna zvokufunga kushusha murume. Unongofunga kumufidha chete  chete. Varume imbozamai kuwedzera zvinhu kana uchiona kuti mukadzi ane ATTITUDE isangakodzeri. Haasi kuguta. 
14Unoona sei kuti mukadzi ari kuhura?Kuhura kwemunhukadzi kunonetsa kubata kupfuura kwemunhurume nokuti vakadzi zvinovatyisa kuzikamwa chihure. Kuti munhukadzi abatwe achihura anenge abatiswa nomurume waari kuhura naye nokuti varume vanofarira kuzvirova dundundu kuti avata nomukadzi wemunhu. Kashoma kukwanisa kuziva kuti mukadzi wako ari kuhura. Ukaona wava kuzviziva zvoreva kuti ahura nguva refu.

15Kuroiwa wakarara kuita sei? Kuroiwa wakarara hachisi chiitiko chaicho chingahi chakaitika asi kuti iwe unokwanisa kurota chimwe chinhu chinityisa chichiitika wobva wapepuka zvichikutyisa. Hapana chinenge chaitika. Hakuna chiitiko chinohi kuroya chinoitika usiku. Dzinongova ngano dzakatangwa nevakuru vedu kare kuti vanhu vechidiki vasajaira kufamba usiku.

Saka vakuru vakabva vasanganisa nyaya idzi nemhuka dzinofamba usiku dzakaita semapere, mazizi, hurekure, nyoka, nezvimwe zvakadaro. Hazviiti kuti munhu akura akwanise kugava bere rigokwanisa kumhanya naye.  Inhema dziri pachena asi vanana vanemakore ari pasi pegumi nemaviri, vanokwanisa kutofunga kuti ichokwadi. 
16Murume wangu anouya kumba makuseni? Zvinobva nokuti anenge achibvepi. Kana achishanda usiku hapana chakaipa. Kana achishanda masikati kana kuti asingashandi pamwe anenge ari kubhawa, pamwe anodhakwa ovata musango, pamwe anovata kushamwari dzake kana hama dzake. Pamwe ane mukadzi waanofambidzana naye. Iwe kuti uzive kuti anenga aripi zvoda kuti umubvunze motaurirana kuti ange aripi musi iwoyo.

Murume kana asina mufaro mumba anokwanisa kana kuvata mumota ozopinda mumba mangwanani. Kana mune nyaya mumba menyu, iwe mukadzi usingahwisisi kuti murume anogagwa naye sei, panoita zvakawanda zvausingahwisi kusvika wabvunza usingapopoti, mobva mataurirana musoro wenyaya mogadzirisa mogara zvakanaka. Kutanga watinyorera kuti kureva kuti hamusi kutaudzana. Mese mune misoro yakaoma. Manje uchazopiwa siki. gadzirisa nyaya.
17Chii chinoita kuti murume agare akaneta? Chikuru hunge ane chigwere chomoyo kana kuti ane ANAEMIA, kana Diabetes. Anofanira kukasira kundoonekwa kuti audzwe zvokuita nokuti zvimwe zvigwere zvakadai zvinokwanisa kukanganisa upenyu zvachose.

18Ndingabvisa sei munyama? Ndave nemakore 23 but handina mukomana. Hakuna chinhu chinohi Munyama. Ndiwe unongozvikonesa kuwana mukomana nokuda kwezviito zvako.
1 Jaira kubuda uchindofugwa nemhepo uchionekwa nevakomana vemuraini uye vamwe vanovhakasha.

2 Potawo uchipinda mutaundi kune vamwe vanhu.
3 Pfeka zvinoonesa mamirire awakaita. Varume vanofarira zvavanoona vasati vatsvaka unhu.
4 Shamwaridzana nevamwe vasikana vanogaronyengwa zvinoita unyengwewo.
5 Dzidza kutaura nevamwe chero makamirira bhazi. Ita nyaya  vanhu vakubvunze kuti ndiwe ani utaure.
6 Enda kunoungana vanhu, kumachurch, kuma Club ezvaunofarira joinako ugaroenda.
7 Ukasiya zita rako (pasina Surname) pano ukangotaura kuti uripi uye unoda mukomana akaita sei. haungamboshayi.

8 usagarozviudza kuti une munyama, nokuti unobva waita somunhu ane munyama. Ratidza CONFIDENCE uye usangomhanyira kudanana nomukomana umboita nguva uchimuongorora. Varume vanookuona se CHALLENGE kana uchimborambirira asi usingabudi pachena. 
19Ndoita sei kuti murume wangu asada umwe mukadzi? Hapana zvaunokwanisa kuita kuti murume wako asada umwe mukadzi. Iyewo hapana zvaanokwanisa kuita kuti iwe usada umwe murume. Kuhura kunoitiswa nokumhura munhu wawakaroorana naye kana kuti nyakuhura akakurira mumhuri yakaita sei. vana vanokurira mumhuri dzine vabereki vanohura anozohuravo kana awanikwa zvisinei kuti murume kana mukadzi.

Kozoitawo vakadzi vashomanana vanohura nokuda kwekushaikwa kwemari mumba. Munhukadzi kutanga kwake kuhura kushaikwa kwerudo mumba kubva kumurume wake. Varumewo akashaya rudo mumba anokwanisa kutanga kuhura.

Kuhura kwemunhu kunonetsa kudzivirira nokuti haakuudzi kuti ava kuda kuhura. 
20Chii chinokonzera kubuda kwemvura munhengo yemukadzi?Kana munhukadzi akaita zemo, zvisinei kuti anoziva kuti ane zemo here kana kwete, anobva atanga kunyorova kuzasi. Kana zemo rikaramba richiwedzera, anobva awedzerawo kunyorova. Kunyorova kwakaitigwa kuti paanozopinzwa chombo zvisagwadza murume nemukadzi nokuti mukati make menge muchitsvedzerera asi muchikwanisazve kukweshana nechombo kuti mese munakigwe. Mukadzi asinganyorovi ane dambudziko guru uye anogwadziwa pakuiswa. 
21Kusunga murume chinhu kuti asahura kunoitwa sei? Hakuna zvakadaro zvinoitika kana munyika ipi zvayo. Saka usatambisa nguva yako uchifunga izvi. Kana usina CONFIDENCE pamurume wako kuti haakuhuriri, zvoreva kuti une dambudziko guru mumba mako.

Hakuna mushonga unoregesa murume/mukadzi kuhura. Kusunga inyaya dzevanhu vakadhakwa idzo kana kuti dzevanhu vaperegwa vasisina mamwe mazano okuti vadanane nevakadzi/varume vavo. Hazvishandi. 
22Kubata chombo chomurume kwakanaka here, uye kunobvumidzwa here? Zvinobva nokuti murume wako here kana kuti kwete. Ukabata chombo chomurume asi wako unokwanisa kusungwa ukaenda kujeri.  Kana ari murume wako chombo ndechako kuita zvaunoda nacho. Kuchibata chinhu chakatonaka chose uye zvinobvumigwa. mAbatire ako anobva pakuti iye anofarira chii. Mubvunze kuti anofarira zvipi. asi kupurudzira, kurezva, kusveta, zvese zvinoitwa pachombo uye zvinofadza mese. 
23Musikana anobatwa sei kuti anzwe kuda kuvata newe? Kuti Musikana zvinoreva kuti haasi mukadzi wako. Kureva kuti iwe haufaniri kufunga nyaya dzokumubata kuti aite zemo. Unokwanisa kuti ava kuda kuvata newe, ugomubata agokusungisa.

Kana ava mukadzi wako, Hwisisa kuti umwe noumwe mukadzi akasiyana nevamwe. Unotoita zvokuhwisisana naye kusvika waziva zvinomuitisa zemo. 
24Mukadzi wangu anochema pese patinoita bonde. Zviri normal here? Hapana chingahi chiri NORMAL panyaya dzokuisana. Iwe nomukadzi wako ndimi muri NORMAl pazviito zvenyu pauviri hwenyu. Kuchema zviri NORMAL pamukadzi wako kana achinakigwa nokuiswa. Hazvinei kuti vamwe vakadzi vanodii. Iwe hwisisa zviri NORMAL kumukadzi wako. NORMAL youmwe  munhu haina kufanana neyeumwe.

Asizve, zvinokwanisika kuti anochema nokugwadziwa. Saka iwe paanotanga kuchema imbomira zvauri kuita wobvunza kuti ari kuhwa sei. Mhinduro yake ichakuudza kuti ari kunakigwa here kana kuti ari kugwadziwa. Kana achigwadziwa kazhinji inyaya yokuti munoisana asina kunyorova. Saka wanai mukana wekuti anyorove.

25Kudzora nhengo yemunhu kadzi kunoitwa sei?

Zvikuru kana azvara mwana.
Verenga apo
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kusimbisa-masuru.html

Ugozama kuita zvimwe zvacho.
26Ko kuzvara kunorwadza here?Kuzvara kunogwadza hako chose asi hauna nguva yokufunga nezvokugwadziwa. Fungwa inenge iri pakuti mwana abude chete. Mwana kana ada zvokubuda anofanira kutobuda chete. Usazvinetsa nokugwadza kwekuzvara. Ukangotanga chete unototi upedze. Hana chimwe chokuita. 
27Mutemo wekuroorana pachivahu unotii? Zvinobva nokuti muri kupi mu Zimbabwe. Asi kwedu kuMasvingo kana mada kuroorana, musikana ndiye anonoudza tete, kuti ava nomukomana. Tete vanofanira kusanganiswa nomukomana wacho vokurukurirana vohwisisana. Musikana anorongegwa kunoona musha wemukomana. Anoperekedzwa natete.

Kana vadzoka afadzwa nezvaaona, tete voronga naana babamunini vemusikana kuti mhuri yomurume inouya riini kuzokumbira.  Panoitwa zvimwe zvakawanda, roora ronyoresanwa pasi mombe youmai yobviswa. Kubva ipapo wava mukadzi wemunhu. unobvumigwa kuvata naye, pachivande asi munofanira kumirira musi wemuchato.

Mukachatiswa,  unoperekwa kumurume naanatete, vana tete vemurume nevemusikana vanoita INSPECTION yemubhedha kuti pakabuda ropa here. Kana wange usiri mhandara nechekare unopiwa ropa rehuku wodonhedza pamubhedha vanozoita Inspection voona.
28Ndedzipi nzira dzekufadza murume mumba napabonde? Umwe noumwe murume ane zvinomufadza zvakasiyana kana kufanana nevamwe varume. Iwe hwisisa murume wao pakutudzana nokupota uchimubvunza kuti anoda chii, akakuudza womuitira ofara newe.

Usajaira kukopera zvinoitwa nevamwe. Bvunza murume wako. Iwewo udza murume wako zvaunofunga kuti ungada. Ndiko kutodzidzirana kwacho. 
29Kudzivirira kunhuwa mukanwaMukanwa munonhuwiswa nemazino akaora, nekusakwesha mazino, nokudya zvokudya zvinonhuwa.
Kuti musanhuwa tanga nokukwesha mazino kaviri pazuva. Kana usina TOOTHPASTE kwesha nemadota.  Kana une zino rakaora enda kwa DENTIST rindorapiwa.

30Ko murume anoburitsa urume senge madrop anosvika 5 anokwanisa kupa mukadzi pamuviri here?Kuwanda kweurume (semen) hakunei nokuitisa mumba. Chinongodikwa imhodzi  (SPERM) dzacho chete. Kuwanda kweurume kuinitiswa nokuti murume aswera achimwa mvura yakawanda sei. Chete chete. Saka kana murume wako achiburitsa ushomanana mukurudzire kumwa muvura yakawanda. Unozovata uchivhinza usiku hwese. Asi hazvinei nokuti unobata mimba here kana kwete. 
31Kupinzwa chombo kunorwadza here? Kupinzwa chombo usina kunyorova zvinogwadza.
Kana wada zvechombo, imborega murume wako achikupurudzira pamberi nokutambisa bhinzi nematinji ako kusvika wanyorova. Zvadaro kupinzwa hakuchagwadzi. kunotonaka zvokuti unongozoona wava kutobatirira nokuchemerera pasina ambokuudza kuti ita izvi. 
32Ndokumirawo kubvunza kuti zvinoita here kuti vabereki vangu vazive zvandisingazivi. Vari kuti ndakadyiswa nomukadzi wangu. Vabereki kana mwana aroora vanokasira kuhwisisa kuti zvese zvavanga vachiwana kubva kumwana wavo zvava zvemhuri yake nomukadzi wake. Kune vabereki vanohwisisa kuti mwana ava nomukadzi saka zvonetsa mugovana nomukadzi wake. Kana vakasahwisisa nyaya vanokwanisa kukunetsa iwe panyaya dzezvanoda kuti iwe unge uchiita uye dzokuti mukadzi wako ange achiita.

Kukuudza kuti wakadyiswa, inongori FRUSTRATION yokuti sei vasiri kukwanisa kukudza zvavanoda uye iwe sei uchiita sokuti uri kuterera mukadzi kupfuura vabereki. Haitongeki nyaya yako saka iwe ukatogumbuka pazviri wava kutowedzera nhamo dzako. Hakuna chinohi kudyiswa saka usaita hanya nazvo. Asi wana mukana wekutaura nevabereki vako, zvikuru mai. 
33Pane mushonga wekubvisa mimba here? Please musandituka. Mishonga Yokumbisa mimba iriko yakawanda asi pano hatikurudziri munhu kubvisa mimba nemishonga yakadai. Kana waita mimba, chirega zvakadaro kusvika wazvara mwana wako. Kubvisa mimba chinhu chausingakangamwi kusvika wachembera.

Kana wabvisa mimba fungwa dzako dzinohwisisa kuti mwana ashaika, asi hapana rinda raunokwanisa kuenda uchinoona sezvinoita vamwe vakashaikigwa nevana. Kana ukaona mwana wezera remwana wako unozvibvunza kuti dai ndine mwana wangu aidai asvikawo pazera iri here? Hazvisi nyore kugara zvakanaka wambobvisa mimba.

Pano ndinowana nyaya zhinji chose pakubviswa kwemimba. Dai wahwisisa kuti hachisi chinhu chakanaka. Enda kuna mai vako kana imwe hama uvaudze kuti une mimba uwane wekutaura naye. Kana zvichikunetsa ndinyorere, asi handikwanisi chose kukubatsira kubvisa mimba. 
34Kunyima murume imhosva here? Zvinobva nokuti wakavingei pamurume uye wakamuudza here kuti chawakavinga ndeichi mukabvumirana izvozvo kubva pakutanga. Zvinobvazve nokuti unoda kugara nomurume wako here kana kwete.

Kunyima murume zvakafanana nokuti woenda kuchitoro wopa muridzi wechitoro mari uchida kutenga Grocery, iye ogamuchira mari asi wokunyima GROCERY, iwe wobvunza kuti Kunyima nyakutenga GROCERY imhosva here?

Vanhu hwisisai kuti kana une murume/mukadzi hazviiti kuti umushotese pakuvatana ugogara naye zvakanaka mumba. Kukapera makore kana maviri tinokuona wasvika pano futi uchibvunza kuti woita sei nokuhura kwemurume. Hakuna achakubatsira. Uri kuzvibikira mbodza wega. 
35Kurebesa bhinzi kunoitwa sei? Ko zvamboita sei kuti ude kurebesa bhinzi yako? Kana uchifunga kuti murume wako achaishaya, ingovhura makumbo wobhenengura matinji wotaridza murume pane bhinzi ako. Kureba kwebhinzi hakuna zvakunobatsira nokuti ma NERVES aripo haawandi achiti nokuti bhinzi yareba.

Asi kana zvichikunetsa chose pane zvipombi zvinohi VACUUM Pump zvinoshandiswa nevamwe kurebesa bhinzi. Enda unotenga uzame asi hwisisa kuti zvinoita nguva sokuti mwedzi mitatu kana mina uchipomba zuva nezuva.  Wochenjera kuzvikuvadza. 
36Kukurumidza kutunda pakuvata nomukadzi kunobva papi?

Zvinobva pakushaya hanya nomunhu wauri kuvatana naye. Zvinobvazve pakusagarovata naye zuva nezuva. Kana muchangosangana unenga usina kujaira kuvata nomukadzi saka unongoti kupinza nokutotunda pamwepo. Zvinoda kuti panguva iyoyo muwanze kuisana kwenyu sokuti katatu pazuva kana kupfuura. Kana muchivata mese usiku hwese potai muchimboita nyaya makapinzana musingafakanyiki, kuti ujaire kudziya kwemukati memukadzi. Kana maita kanyaya kenyu, wombobuda mumukadzi, moitazve nyaya makambundikirana asi musina kupindana, mozopindanazve moita imwe nyaya. Iyi itsika yokuti ujaire kudziya kwemukati memukadzi.

Potazve uchiti kana uri mukati memukadzi wotanga kufunga zvinhu zvisinganakidzi, sokuti mbudzi yatsikwa nemota, kana bere rapindira madhongi mudanga renyu. Zvinotora nguva uye zvinoda kubatsirana nomukadzi wako.

Mukadziwo ngaaite tsika yokutamba nechombo mumaoko ake kuti ujaire kubatwabatwa pachombo. 
37Chii chinoita kuti urwadziwe kana uchiita bonde nomurume? Kana wada zvebonde nomurume, tanga nokuhwisisa kuti munhukadzi wese anofanira kutanga anyorova murume asina kukupinza chombo. Kuti unyorove tora ruoko gwemurume uise pakati pemakumbo ako woudza murume kuti akukwenye zvinyoronyoro nokuti pari kuvava. Achikukwenya wedzera kuvhura makumbo uye ratidza kunakigwa kuti awedzere kukwenya. Chibatawo chombo chomurume upurudzire iye achikukwenya. Chitanga kufunga chombo chaunacho muruoko chichikupinda zvinyoronyoro wakavhara maziso nokurerusa muviri wakasimudzira chiuno kana kufongorera murume wako.

Uchahwa zasi kunyorova. Unohwa kuzasi kuchiti nyevenyevenyeve kudavira kukwenya kwemurume. Rega kunyorove. Kisana nomurume wako. Muudze apinze chigumwe mukati akwenye kumadziro ukumusoro kwakananga kubhinzi. Tora ruoko gwake umukwenyese pedo nebhinzi. Kana wahwa zvisisaiti kuti usapinzwa chombo chiudza murume apinze akukwenye nechombo mukati. Uchahwa kuti kupinda kwake hakugwadzi.

Kana usinganyorovi zvachose enda unotenga inohi KY Jelly utevedzere mashandisigwe ayo. 
38Mapundu pamberi pemunhukadzi anoitiswa nei uye anobviswa sei? Kana waita mapundu pamberi, zvisinei kuti akaita sei, Kana wakakura usina mapundu ipapo, kasira kundoonekwa kuchipatara uye usa vata nomurume kusvika wahwisisa kuti inyaya yei yaitisa mapundu. Kana wange wagara une murume uye uri munhu asingahurisi, hwisisa kuti pane chakaitisa mapundu here chawakaita iwe sokuti wakachinja sipo yaunosishandisa, kana kuti wakaisa PERFUME pamberi kana chimwe chausingasiiti.

Zvokwanisikzve kuti murume akakuhurira. Kana kuti wakangoitawo chigwere chechikadzi. Kune zvigwere zvechikadzi zvisinei nokuhura.
Asi kasira kundoudzwa kuti chii chaicho. 
39Kuiswa nemurume wemunhu kwakaipei. Nezuro ndakaiswa nemurume wemunhu asi anoti haarare nomukadzi wake. Apa uri kubvunza kuti kuhura kwakaipei. Hausi mubvunzo ungabvunzwa nomunhu apfuura makore gumi uyu. Kuhura nomurume wemunhu zvoreva kuti iwe wacho hautombohwisisi kuti uri benzi rakaita sei. Zvokuti haavati nomukadzi wake hazvinei newe izvo. Iwe kana uchida kuvata naye mirira kusvika varambana, asi pachaita kanguva iwewo ugohurigwa nomurume uyu. Hazviiti kuti munhu anohura akwanise kuregera kuhura.

Pari zvino nokusahisisa kwako ziva hako kuti ukita mimba, chigwere, kana kuti ukabatwa nomukadzi wake, murume wacho haamiri newe, unotohwa okutuka kuti uri hure. Izvozvi ari kuudza shamwari dzake kuti uri hure rake. Ndiko kuipa kwacho kana wahwisisa. 
40Panotunda murume muchitubu mukadzi anonzwa kunakirwa here?Chinonaka pakuiswa chiri patatu panoti:
1 Panotanga kupinda chombo pana kanguva kadikidiki paunohwa muviri kunakigwa nokupindwa. Asi kana usina kunatsonyorova zvnogwadza zvobva zvakanganisa nyaya yese.
2 Pakukoirana nomurume chombo chichikwesha mukati, zvinonaka chose.
3 Pakunakigwa zvokusvika pakutunda kana murume akunonokera.

Asi hwisisa kuti vanhukadzi vanotunda kubva pakungopinzwa chombo nokukoigwa vashoma. Mhomho yese inoda kuti uku murume ari kukukoira uku iwe kana murume ari kukwizirira bhinzi. Zvinonaka izvozvo. Kozotiwo kusvetwa kana kunazvwa bhinzi kunonaka kupfuuta kuiswa.

Pakutunda kwemurume vakawanda havatombohwi kutu murume atunda. Kungoona nemaitire ake kuti ari kutunda. Asi kana mukakwanisa kuti iwe wotanga kutunda murume otevera. Ndizvo zviri nani. 
41Kuchekwa chombo uri pabonde  zvichirwadza kunofamba sei?Kuchekwa chombo kunoitika kuchipatara kwete pakuisana. Kana wachekwa chombo wotombomirira zvopora mozotanga kuisana zvapora, kwete kungoti uchichekwa uchibva watoda zvokuisana ipapo. Hakuna mukadzi akachenjeta angada kukucheka chombo. Ndezvekuchipatara izvo. Kugwadza zvinofanira kugwadza zvisinei kuti wachekwa kupi, kumba kana kuchipatara. Kana mada zvokuchekana kumba, shandisai zvichekeso zvakabviswa majemhisi. 
42Mushonga we kuvava muviri wese
(munyaviri) unowanikwepi? 
Munyaviri unohi ALERGY pachirungu. zvoreva kuti haurapiki. Hachisi chigwere asi i CONDITION. Saka mushonga ndewekungoti usashushikana nokuvaviwa.  Ukaenda ku CHIMIST vanokupa mushonga wekuti zviite sezvisiri kuvava.

Vamwe vanoti unofanira kugeza neruredzo kunobatsira. Zvino dzimwe nguva ruredzo hakuna. Kana usingazivi kuti ruredzo chii, ndinyorere. 
43Mukadzi anoramba bonde, zvinoitiswa nei? Vakadzi vakawanda vanoramba kuvata nevarume vavo inyaya yokuti murume anokasirira mukadzi saka mukadzi obva aona kuvatana nomurume kuri kutambisa nguva nokuti haawani mukana wekunakigwa. Koitazve nyaya yomurume anozikamwa kuti haadi mukadzi wake asi anongoda kuvata naye chete. Mukadzi anoziva kuti mumba hamuna rudo haaoni zvakakodzera kuvata nomurume wake.

Kuitazve murume asingabatsiri mukadzi mabasa emumba. Mukadzi anoneta obva ada kungovata.

Murume asingatsvakiwo kupa mukadzi zemo haafadzi kuvata naye. garobatabata mukadzi wako uchimuudza nyaya dzinosetsa nokuterera zvaanotaura. Akasimika kundotora mvura yokumwa, simukawo uende naye muchiita nyaya. Achibika miramira pedo muchiita nyaya.

Asizve, kana asisakudi haadi kuvata newe futi. asi chikonzero chikuru pakuti arambe ndiwe.

44Cancer inokonzerwa nei?Chigwere chinohi CANCER hachisi chigwere chimwe chete. Chine mabato akawanda. Zvikonzero zvacho zvakawandawo hazvo asi zvimwe zvacho zviri pamugwere anoita cancer.

Cancer yemapapu inoitiswa nokuputa fodya
Cancer yepamuromo wechibereko (CERVICAL) inoitiswa nokugaroiswa nevarume vakawanda pasina Condhomu, uye kutanga kuisana nevarume une makore ari pasi pe 18.
CANCER yepaganda inoitiswa nokugara usina kupfeka kuchipisa zuva
Cancer yepahuro inoitiswa nokuputa fodya


Kune cancer dzakawanda chose 85% dzinokonzegwa nevanhu nemagarire nemaitire avo.

Kugara munzvimbo ine tsvina,
Kusadya zvokudya zvakakodzera vanhu,
Kusamwa mvura yakakwana,
Kusavata nguva yakakwana,
Kugara une STRESS mumuviri


Zvese izvi zvinokonzera CANCER yebato iri kana iro. Vanhu vanoita CANCER iya yokuti wangoitawo munyama havapfuuri 15% yevanhu vese vane CANCER. 
45Kusveta sikarudzi yemurume kwakanaka here?Kusveta murume zvinobva nokuti unoziva zvaari here uye unovimba naye here. Kana usingazivi STATUS yake uye usingagari naye, uchiziva maitire ake, Uchizivazve kuti haahuri nevamwe vakadzi/varume, usasveta chombo chake kana kumurega achikuinza chombo asina kupfeka kondhomu.

Kana ari murume wako uye uchinatsa kuziva kuti haahuri uye haana zvigwere, unokwanisa kumusveta asi hwisisa kuti unotangira nechekure uko wotanga wajaira kumbotamba nacho mumaoko uchiratidza murume kuti unochifarira. Uye uchimupawo mukana wekutamba nebhinzi yako nematinji ako.  muchijaira kubatana pamberi.

Kongozotiwo umwe musi kana akakukumbira kuti sveta wotaidza kuti uri kutodzidza kusveta kwacho. Kozoto wambodzidza uchimubvunza kuti zvinonaka ndezvipi, wozogarosveta zvinonaka zvacho.

Kune varume vanovhunduswa nazvo koita vamwe anonakigwa chose asi agokubvunza kuti wakazvidzidziswa nani. Varume vamwe havabvumi kuti isu tinokwanisa kuzvifungira maisigwe atinoda pasina umwe murume akatidzidzisa.

Hauwa kana ari wako sveta hako uye achanakigwa nazvo chose iwewo zvinokufadza uye zvinobatsira kukurerusa muviri pakuzoiswa wapedza kusveta. 
46Chikapa chengwena chinoitwa seiNgwena hadziiti chikapa. Vanhu chete nedzimwe mhuka shomanana ndivo vanoita chikapa. Ko wadireiko kutora ekizambhuro kungwena? Ko kungoita chikapa wega kudzidzira kusvika murume wako ava kukupa rukudzo pazviri zvakaipeiko?  Siyana nengwena. 
47Nhova in English inonzi chii? Nhova inonzi FONTANELLE. Inoitiswa nokuto mwana pakuzvagwa mabhonzo emumusoro anenge asina kunatsopera kugadzigwa, kuitira kuti mwana akwane kubuda mudumbu ramai nokuti nzira idiki.

Uyezva kana abuda, anenge asingagoni kutaura zvaanoda. pane zvaanoda chikuru imvura yaanopiwa iri mvura kana kuti mukaka. Unoona kuti mwana ava nenyota kana nhova ichitamba. Kana waona nhova ichitamba kasira kumwisa mwana mukaka kana mvura.

Nhova hachisi chigwere uye haikonzeri chigwere asi vana vemuAFrica vakawanda vanourawa nokuti mai havahwisisi nhova. vanoona ichitamba voisa mushonga wenhema wavapiwa kumunhu anoda mari pane kumwisa mwana.

Pakufamba mumota kana bhazi unoona nhova ichitamba kana mubhazi muchipisa, Bvisa zvipfeko zvemwana arohhwe nemhepo kwete kumuputira. Anokwanisa kukugwara kana kutoshaika nazvo. Zvinoitika kune vakawanda. Usaputira mwana kana kuchipisa. Mwana anozvagwa ane BODY FAT yakawanda kuti ahwe kudziya. 
48Chii chinomisa munhu kuzvaraKana wambozvara, ukazosvika makore anopfuura 32 unokwanisa kupera mazai wobva washaya mwana. Munhukadzi anozvagwa ane mazai ese aachada muupenyu asi kuti anenge asiri MATURE. Kunozoti atanga kuenda kumwedzi Zvikandiro zvake zvinochinjana kukandira zvichiti mwedzi uno zai robva kuruboswe, mwedzi unouya robva kurudyi. Saka pagore anokandira mazai gumi nemaviri. Zvodaro kusvika apfuura makore 32. Vamwe vanotanga kushaya mazai vobva varega kuenda kumwedzi, Vamwe vane mazai akawanda vanokwanisa kuenda kumwedzi kusvika makore kuma 45 kana kupfuura.

Kana mazai apera hauchaiti mumba asi kuisana nomurume unokwanisa kutowedzera, uye kunakigwa kunowedzera futi. Mukadzi ane makore kana 70 kana kupfuura anoita ORGASM uye ORGASM yake inonaka kupfuura yevechidiki. kungoti anononoka kunyorova kuti apinzwe chombo. Asizve mukadzi anogaroiswa anokasira kunyorova zvisinei kuti akura zvakadii. 
49Chihure chemukadzi akaroorwa chinoitiswa nei. Mazuvano vakadzi vava kungotevedzerawo chihure chevarume asi STILL varume vanhura kupfuura vakadzi kana tichitarisa vanhu vakaroorana verudzi gwedu. Uyezve mahurire avo akasiyana zvese kubva pazvikonzero kuscika pamaitire.

Murume anohura zvisinei kuti kumba anogutswa here nomukadzi wake kana kwete. Mukadzi kazhinji anohura nengari yokusagutswa kana kusapiwa rudo nomurume wake.  Ndiri kuti KAZHINJI nokuti kune vakadzi vanongohurawo zvisine kuti kumba kwakadii, asi vashoma pane varume vanohura pasina chikonzero.

Kuvata nomurume anokukasirira zvinoitisa SEXUAL FRUSTRATION zvokuti muviri unotsvaka kugutswa munhu opedzisira akwezvwa kuchihure. Kusapiwa rudo mumba ndicho chikonzero chikuru pakuhura kwevanhukadzi. Murume ngaagaroratidza mukadzi wake rudo.

Kushungurudzwa nokushaikwe kwezvinhu mumba kunohurisa vamwe vashomanana. Kana pasina zvinhu zvoupenyu mumba wedzerai rudo mutambure mese pamwe chete asi murume ngaaratidzewo kuti ari kuzama kugadzirisa zvinhu.

Kugara makatarangana kunohurisa mese murume nomukadzi. Apa ngatisaudzana nhema. Kutarangana hakushandi pavanhu vakaroorana.

Kuita murume ane hasha mumba, mukadzi anotanga kuhura iri nyaya yokutsvaka rudo.

kana mukadzi akakura achiona mai vachiuya nezvikomba mumba baba vasipo kana kuti vakashaika, mukadzi anokwanisawo kuzohura zvaaiona mai vachiita. Sezvinongoitawo vakomana kana baba vaihura.

Koitawo mukadzi ane murume akanyanya kunaka asina hasha, asingapopoti, asingarambi kuita zvinoda mukadzi wake. Kune vakadzi vanoda murume anonetsa anoratidza kuti ndiye she wemumba. Saka unoona mukadzi achisiya zvese zvakanaka mumba achinohura nechimurume chisina kana sipo kumba.

Koitazve mukadzi akakura asingaoni zviitiko zvenyika. anoroogwa ari mhandara asi akangoravira chombo oita DHIMONI  rekuda chombo. Anohura pasina chikonzero chinoonekwa.

30% yevakadzi vanotombohura dzimwe nguva, 33% yevarume vanohura. Varume vane mabhora mahombe vano CHANZI yokuhura kupfuura vane madiki.

Ndiko kusiyana kwevanhu.
50Kubuda zvinhu zvichena kusikarudzi yechikadziMunhukadzi anokwanisa kubuda zvinhu zvichena panguva dzinoti
1 Kana kumwedzi kwave pedo
2 Kana achangbva kumwedzi
3 Kana muchiisana
4 kana mapedza kuisana

Hapana chakaipa asi kuti ukahwa kuzasi kwako kune hwema hwakaipa uye kuchibuda DISCHARGE ine hwema, hwisisa kuti une INFECTION saka unofanira kundoonekwa nevarapi, zvikuru kana kuchivava.

Kana uri kure nevarapi kana kuti usina mari, tsvaka GARLIC woimenya kusvika yave chena, woboora buri wosungisa tambo woisa mukati asi kwete kure, wosiya tambho yakabudikira kuti ugokwanisa kudhonza uchibvisa. Mangwana chigwere chinenga chapera asi hwisisa kuti paunoipinza zvinogwadza kwenguva inoita kana hafu yehawa.  Mushonga wekuti kana muri kure nevarapi shandisai.

Dzidzsai vsikana vadiki kupisika kuchimbizi, pisika uchibva mweri uchienda shure kuti utachiona hwekumashure husaenda muchitubu Maburi achi akatarangana 3 centimeters chete. kana wazozvara inowedzera kusvika 3.5 cm. 

Sunday, 18 February 2018

Nyaya yeNgozi mumusha


Kuchirudzi chedu chechiKaranga kune mitemo yakawanda chose isingabvimigwi kusateveregwa. Mitemo yacho yakawanda mitemo yakanaka chose pakugadziridza nokuvaka mhuri dzedu, uye kuhwisisana mumaraini edu mukugara pamwe chete.

Chinhu chikuru chinoita kuti imwe yemitemo iyi isatevegwa nevanhu vakadzidziswa mitemo iyi, inyaya yokuti hapana mapurisa erudzi anofamba achitonga munhu kuti sei arega kuteverera mutemo wekuti newekuti. Pamwe dzimwe nyaya dzinoendeswa kwaSabhuku kana kuti kwaShe, asi zvinji dzacho dzinonetsa kudzitonga nokuti hapana zvakanyogwa zvingahi ndiwo mutemo wacho.  Tinopedzisira tava kungoona munhu akanganisigwa otsvaka maitire aangaita kuti nyaya yake igadziriswe. Kazhinji iwe nyakukanganisa ndiwe unongozoona wega kuti washaisa munhu mufaro wobva wanokumbira regerero wobhadhara huku kana mbudzi, nyaya yohi yapera.

Kana nyaya yako isingagadziriki nehuku kana mbudzi, sokuti inyaya yaitika mumusha, tinoona vakuru vachikushisidzira kuti zvawaita zvinokonzera ngozi saka unofanira kuwana mukana wekuzvigadzirisa. Kune nyaya dzakawanda dzinokwanisa kuhi dzinokonzera ngozi. Dzimwe dzacho ndeidzi:
  1. Mwana kurova mubereki wake
  2. Mwana kubata mai chibharo, Mai kubata mwana chibharo
  3. Baba kubata mwanasikana chibharo
  4. Vana vemunhu umwe kuvatana
  5. Kusecha hombodo dzemunhu akafa nokuba zvirimo
  6. Kurera mwana kumadzisekuru ake vokudzinza rake vasingazivi kuti kune mwana
  7. Kuuraya munhu asiri hama yako
  8. Zvimwe zvakadaro zvinozikamwa kuipa kwazvo
Vanhu vakawanda vanowanikwa vachiita nyaya dzakadai vanhu vanotova nemweya wakaipa kureva kuti vanogwara fungwa nechekare. Kana kukashaya anosungisa munhu akadai, kunofanira kuwanikwa munhu anokwanisa kutaura naye kuti asazoita mhosva yakadai futi. Fungwa dzake hadzina kugadzikana zvakanaka.

Kana kukashaya anokwanisa kumutsiura zvoreva kuti achatopamhwazve zviito zvake.  Pakutsiura munhu akadai kumushisidzira nenyaya dzengozi kunokwanisa kushanda asi kana wadaro chihwisisa kuti iye achafunga kuti anofanira kuripa ngozi kuti asakanganisika upenyu hwake nokuti akatoita mhosva kare. Saka panofanira kuitwa mutambo wekuti ngozi isavinga munhu uyu.

Ngozi Chiiko?
Ngozi kushaya mufaro kwevakuru verudzi gwakanganisigwa. Asi vakuru ava havasi vanhu vapenyu. Vanhu vakafa kare kare. Zvinohi kuChivanhu, munhu akafa ane vana, anoramba achiriritira vana vake murufu. Kana umwe wevana vake, vazukuru vake, vana vevazukuru vake, vakashaiswa mufaro kana kukuvadzwa, mukuru uyu anoshayawo mufaro, obva akonzera ngozi kuna nyakukanganisa.
Zvinoonekwa kuti hazvigoneki kuti munhu akafa kare kare ahwisise kuti vana vake vakanganisigwa. Tese tinoziva kuti kana munhu akafa haachakwanisi kuterera kana kuona zvinoitika panyika. Kune vamwe vanofunga kuti munhu pakufa anobuda mweya uye mweya uyu une njere dzakangofanana nedzemunhu mupenyu saka anongoita zvaanga achigaroita asi kungoti ava kukwanisa kuenda kwese kwaanoda kuenda nokuti haachisina muviri wemunhu. Zvinohi mweya unoenda chero kwawada kuenda. Tese tinoziva kuti mweya haukwanisi kungova wemunhu umwe chete. Mweya ndewedu tese. Tinozivazve kuti munhu akafa haachisina mweya.

Kana tichitaura chokwadi, hakuna chinhu chinohi ngozi. Kana ukauraya munhu hapana chakaipa chinoitika kwauri chingahi chaitiswa noumwe munhu akafa kare tichiti nokuti anoera mutupu umwe chete nomunhu wawauraya kanakuti mwana wemwana wemunhu akafa kare wawashaisa mufaro pazviri. Bodo hakuna zvakadaro. Ichi ndicho chokwadi.

 Asi kana ukauraya munhu, hazviiti kuti ugare wakagadzikana hana uchiziva kuti wakauraya munhu, zvisinei kuti munhu iyeye ihama yako here kana kwete. Kana ukabata munhu chibharo, zvisinei kuti uhama yako here kana kwete, hazviiti kuti ugadzikane hana pazviri. Zvisinei kuti fungwa dzako dzakatokanganisika kare here kana kwete. Kugadzirisa nyaya dzengozi hakunei nevakafa. Inyaya yokuti isu vapenyu tifunge kuti nyaya yapera. Mhuri yese yenyakupara mhosva nouyo nyakukanganisigwa yaudzwa kuipa kwenyaya ikabvuma kuti muripo watariwa nevapenyu wakakwanirana nemhosva.

Kana ukaba chinhu mumusha meumwe munhu, ukabatwa, ukakumbira regerero, ukaripiswa zvese nokudzosera chawange waba, nyaya yapera. Fungwa dzako dzinoti nyaya yapera uye zvokuba handichaiti. Uyawo awange wabira anobvumawo kuti  nyaya yapera.  Hana yako pazviito zvako inotanga kugadzikana. Zvichibva nokuti chii chawakatauri padare rakakuripisa, vamwe vemuraini vanokwanisa kutanga kukuona semunhu ava umwe wavo, zvoreva kuti hauchavafungiri kuti vanokuona somunhu akaipa.

Napo napo vanhu vanombotaura nezvokuipa kwako asi vamwe vane tsitsi vanotaura nokushushikana kwako pakuipa kwezviito zvako, kureva kuti vanokuona uri munhu akanaka dzimwe nguva.

Kune vanhu vakawanda chose mhondi chaidzo kuitazve masoja anouraya vanhu vavasingazivi . Kune masoja anoti akauraya munhu zviri zvebasa chaizvo, anokwanisa kusamboita basa nazvo, koita mamwe masoja akareriwa zvakaemurika, anoshushikana nokuziva kuti auraya munhu waange achikwanisa kusauraya asi kubata somusungwa. Anokwanisa kushushikana pazviri zvokusvika pakuti kuitwe chimwe chinhu kana mutambo wekununura fungwa dzake panyaya iyi.  Kuhwisisa ngozi uye kuti nyaya dzekutyisidzira vamwe nengozi dzakaitigwei, kuhwisisa kuti murudzi gwedu tiri vanhu vanofarira kugdzirisa PSYCHOLOGY yevanhu vatigere navo. 

Tinohwisisa kuti pane dzimwe nguva munhu anokanganisika fungwa iota chinhu chakaipa, pamwe oenda kujeri kwemakore akawanda. Kana adzokako anofanirazve kugamuchigwa mumusha nomuraini. Kuti agamuchigwe panoitwa mutambo unohi ndewekufadza vakuru vemusha vakafa kare kuti vagamuchire kukumbira regerera kwemukanganisi uyu.  Kuyawo kwaakanganisa vanofanira kugadziridza musha wavo kuti vapenyu vemusha vafunge kuti nyaya yapera nokuti yagadziridzwa.

Ndiro basa renyaya dzengozi. Hakuna chinhu chaicho chinohi ngozi nhingatoitika pakukanganisa kwemunhu chinoitiswa nokushaya mufaro kwemunhu akafa kare. Hazvikwanisiki. Asi kuti ndigere pano ndinokwanisa kufunga kuti mbuya vangu dai vari vapenyu vaindiona sei pachiito change ichi. Kana ndikafunga kuti hava fari nazvo, ndinokwanisa kuhwa ndiri munhu akaipa pamberi pemhuri yangu. Kana zvadai ndichahwa ndiri munhu akaipa kusvika mhuri yangu yati ndave munhu akanaka.
Kuti vati ndiri munhu akanaka vanofanira kuudzwa numunhu ari IMPARTIAL, anoziva zvaari kutaura. Munhu wemweya haabvunziki, haafungigwi kuti angakanganisa, haana anomushora, saka kuti  zvabva kumadzitateguru uye kwahi urayai mombe mubike doro mudire rimwe pasi vagokuregererai  zvinobva zvaratidza kuti mhuri yese yava kundiona semunhu anohwisisa  kuipa kwake panyaya uye ava munhu akakodzera kuva mumhuri kana mutambo wapera.

Ngozi muVanhu vane Chitenderi
Nyaya dzengozi idzi inyaya dzakakosha chose nokuti dzinounza inohi REHABILITATION kumunhu akanganisa upenyu hweumwe munhu zvese neupenyu hwake iye, uyezve nokumhuri dzese dziri munyaya iyi. Kuvatendi, vanhu vakawanda nevafundhisi, vanoona sokuti nyaya dzengozi inyaya dzevahedheni dzisina maturo . Bodo. Inyaya yakakosha chose nyaya yengozi. Zvikuru kuvatendi. Kana mutendi akakanganisa sokuti aita chinhu chakaipa, anofanira kuwana mukana wekutaridza kuti anobvuma kuipa kwake uye pane zvaadzidza panyaya yake zvokuti akwanise kusazozviita futi achinyadzisa vamwe vatendi. Anofanirazve kutaridzwa kuti vamwe vatendi vanohwisisa kukumbira kwake regerero zvokuti vanomubatsira kudzokera musangano ravo.

Mazuvano kune vanhu vakawandisa vanoita zvitadzo mumakereke umu nokuda kwekuti vamwe vevafundhisi vedu Havana hunhu. Kana sangano renyu rikashaya maitire e REHABILITATION munokwanisa kukanganisa upenyu hwevatendi venyu vanenge vaita zvakaipa.  Kana mufundisi wenyu, zvikuru avo ve RHOMA vanopota vachibata zvanakomana chibharo, akashaya mukana wekusapotiwa mukusungiswa kwake paanobuda mujeri, zvinoreva kuti hapana inohi CLOSURE panyaya yake zvese nenyaya yechimwana chaakabata chibharo.

Kune avo madhikonikadzi vanowanikwa vachihura nomufundhisi, kudzinga mufundhisi basa hazvirevi kuti mudhikonikadzi haachisiri hure pakuona kwevamwe vatendi. Kunofanira kuti musangano renyu munge mune mukana wekuti nyaya dzakadai dzigadziriswe zvinoonekwa kuti nyaya yagadziriswa. REDEMPTIVE DISCIPLINE. Ndicho chinhu chikuru mudu.

Tese ngatihwisise kuti vanhu vekare vachigara pasi vachigadzirisa chivanhu nemitemo yacho vakaronga nyaya dzese  vachihwisisa kuti munhu umwe noumwe anokwanisa kukanganisa, uye kana akanganisa anokwanisa kuvengwa nevamwe. Panofanira kuiswa mukana wekuti agadzirise nyaya. Panofanirazve kuiswa HIGHER AUTHORITY  inotyiwa nevanhu vese. Ndokubva vati Ngozi inokuvinga kana ukasahwisisa kuipa kwako kwatinenge takuudza.  Avo vanozvibudisa mumagarire awa vachitora chitenderi, hwisisai kuti imwe mitemo yechivanhu uye kuti chii chatingadzidza kubva kwairi.  Tadaro ngatitore zvakanaka kubva kumitemo iyi tounza kuno kuchitenderi chedu kuti vanhu vakwanise kugara zvakanaka.

Kuudza munhu kuti uri kumunamatira chinhu chakanaka chose asi kuudza munhu pazere shamwari dzake kuti zvinofadza kuita chimutambo chokumugamuchira musangano, uye kumupa mukana wekutsanangura maonere aanoita nyaya yake kubva musi waakanganisa, kusapotiwa kwake pakuenda kujeri, kuvhakashigwa mujeri kuziva kuti vamwe vemhuri yake yesangano vanofunga nezvake, chinhu chakanakawo kuti vaya vanozviona sevanhu vasingaiti mhosva vahwisise kuti munhu aita mhosva anohwa sei.  

Ngozi hakuna. Hapana zvazvinoita nokuti vanhu vengozi vanhu vakafa hapana chavanoudzwa vakahwisisa. Havana simba rokugadzirisa nyaya kana kupanicha munhu akanganisa. Ngozi ndeyedu isu vapenyu kuti tigarisane zvakanaka.

Nyaya yengozi Mumba:
Kana uri mumba nomukadzi/murume wako nevana, hwisisa ngozi. Kana ukakanganisa kana kukanganisigwa, wana mukana uye chido chokugazirisa nyaya. Kumbira regerero nokukasika. Kana umwe wako achiramba kukupa regerero zama kuhwisisa kuti chitadzo hako chamugumbura zvakadii. Kana abvuma kukuregerera funga pazviri umutsanangurire kuhwisisa kwako pakuipa kwechiito chako uye kuti uchaita sei kuti zvisazoitikazve. Kana waudza munhu kuti wamuregerera, usazoti matsamwisana wochitanga kupopota uchinovhukunyura nyaya dzawakambomuudza kuti wamuregerera. Nyaya dzomumba ngadzive imwe chete pachayo yega pasina dzimwe.

Udzai Vamwe !!!!!!!


Sunday, 28 January 2018

Kurhojana nezvinhu zvisiri vanhu

Vhiki imwe neimwe kune vanhu vakawanda vari kubvunza kuti murume kana mukadzi kana ari ega angabvisa sei zemo. Mhunduro iri pachena ndeyekuti munhu wese zvake anoziva kuti maoko anoshandiswa sei kuzvibvisa zemo. Iripo nguva yaunongoerekana wava nezemo murume wako asipo pamba. Unokwanisa kumbozama kusafunga nazvo asi pamwe zemo hariendi kusvika waribvisa. Kuvanhukadzi hazvitinetsi kuita. Vashoma vanoda kutipinza chimwe chinhu mukati. Mhomho yese kungozvikwiza panyaama dzakapoteredza bhinzi kusvika wazvitundisa. Wombotura mafemo. Wozobvapo Zemo hauchina wotoita mabasa ako emumba zvakanaka.

Variko havo vanotsvaka chokupinza mukati asi vashoma uye manakire azvo anotora nguva kuti utunde. Kuvanhukadzi, kupinza chinhu mukati mako hachisi chinhu chakanaka, nokuda kekuti unokwanisa kupinza ma bacteria asiriwo mukati mako. Kana zemo rakukurira ukaona kuti unohwa kuda kupinza chimwe chinhu, tanga wachigeza nesipo. Kune zvakawanda zvinokwanisa kupinzwa mukati. Kana uri mhandara usafunga kupinza zvinhu mukati mako.

Zvino varume ndohwa vachiti maoko anonaka nokuti iwe muridzi unohwisisa puresha yaunozvirjoja maoko ako nayo.  Asi vamwe vanoda pokupinza chombo. Vamwe kuno ku UK vanoti unokwanisa kurhoja manhanga akaita semavise (water melon) nokuti mukati mao makanjorovera semukati memukadzi. Asi zvinohi unotanga waisa vise rako muMICROWAVE woisa pa POWER iri pasi nenguva dikidiki. woridziisa wombomira wodziisazve kusvika rava kudziya zvakaita semunhukadzi. Zvadaro woboora buri rakakwanirana nechombo chako. woisa banga mukati wowedzera kudzika kweburi kuti ukwanise kupinza chombo.

Dzosera muMICROWAVE udziise vise rako. Radziya zvakakwana ndipo unokwanisa kupinza chombo wonakigwa naro. Kuona kwangu ndezvokungoti hazvo zemo rinoda kubviswa kana rauya asi zvimwe zvinhu tanga wazvitarisira kuti hazvikuvadzi here. Apa hapana chinokuvadza ari unofanira kuona kuti mune kunyorova kwakakwana nokuti unokwanisa kuzvisvuura chombo.

Asi tichitarisa kuti pana zvimwe here zvinotaridzika kunaka kwazvo tinoona kuti:
1 Vise harina chigwere chaungakwanisa kubata. Kana tichikombeya nehure, zviri nani kuzvitengera vise rako rogara mumba kusvika woda kurirhoja.
2 Vise haridhuri kuritenga chero nyika ipi zvayo. Mahure anodhura uye anokubira mari kana wabatwa nehope.
3 Vise harina nguva, chero pawadira. Hure rinoda ukasire kuti rigoenda kumwe kwariri kudiwa.

Asi zve ndinogaroudza vanhu pano kuti kana ukahwa muviri wako uchigaroda kuti uisane noumwe munhu, zvoreva kuti nguva rokuroora yasvika chiongorora upenyu hwako utange kutsvaka munhu akakodzera kugara naye semukadzi wako. Zvadaro kubva pokutanga dzidzsanai kuvatana zvinonakira mese kuti upenyu hwenyu huve nani.



Vane zvimwe zvavanozivavo zvinobatsira munhu kna ari ega wedzerai tihwe.