Wednesday, 4 July 2018

Mibvunzo nemhinduro 17

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 16 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 17. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 16, 15, 14, 13, 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO kana kungobaya ipo pano
Ndatenda



Mubvunzo

Mhinduro

Kana murume ane mukadzi akandinyenga ini ndikabvuma iye ane mari, ini boyfriend handina. Kurorwa naye handidi. Chakaipa chii? Maiwee! hino ukaita tsika yokunyengwa nevarume uchiti nokuti vane mari, usina hanya nokuwanikwa, Uchazorega kunyengwa pane zvemari riini uye zvadii? Nyaya yauri kutaura handi yokunyengwa asi yokupiwa mari kuti uite zvinodiwa nevaridzi vemari. Kunyengwa kunoitika kana wasangana nemukomana kana murume anotsvaka musikana wekuroora.

Iwe zvibvunze kuti murume ane mari ane mukadzi asi anokunyenga, ingari yei? Ko anonyenga vamwe vasikana here? Anovadii? Ko iwe wadii kungozvishandirawo uwane mari yako pane kumirira yekupiwa nevarume vevanhu? 
Tete, mukadzi ane mazamu makuru anonaka kupfura ane madiki here pabonde? Kunaka kwemunhu kuri mufungwa yemunhu anonakigwa naye. Hakunei nokuti munhu wacho anonaka akaita sei.
Kune varume vakawandisa vanoti mukadzi akashata kutarisa ndiye anonaka,
vamwe voti mukobvu ndiye anonaka,
vamwe voti mutete ndiye anonaka,
vamwe voti mupfupi ndiye anonaka,
vamwe voti murefu ndiye anonaka,
vamwe voti ane muromo mukuru ndiye anonaka
vamwe voti mutsvuku ndiye anonaka,
vamwe voti akasviba kuti zvii ndiye anonaka,
vamwe voti ane chuma muchiuno ndiye anonaka,
vamwe voti ane magaro makuru ndiye anonaka,
iwe wouyawo woti ane mazamu makuru ndiye anonaka.

Saka anonaka chaiye ndeupi? Iwe kana fungwa yako ichiti ane mazamu makuru ndiye anonaka, chitsvaka ane mazamu makuru.

Mushonga wekukudza nhengo yemurume unowanika kupi?Hakuna kwaunouwana nokuti hakuna mushonga wakadaro. Kana wamuwana kasira kundiudza ndigokuwanisa mari inopfuura 2 billion USD. Kune varume vakawandisa vanofunga kuti kukura kwechombo ndiko kunonakira vanhukadzi. Kusahwisisa mashandire anoita muviri wemunhukadzi.

Nyika dzese dzine vanhurume dziri kutsvaka mushonga wauri kutsvaka uyu asi hakuna anomuwana iwe uchiri mupenyu. Zvinofadza vanhukadzi vakanda kuti hakuna mushonga wakadai. dai uripo vamwe vedu vaitozotanda kuvata nevarume vavo nengari yemazichombo anenge matanda.

Siyana nokufunga zvisina maturo. Chinonakira mukadzi chinoti,
1 Rudo kubva kumurume,
2 Kutora nguva uchirezva mukadzi kusvika anyorova,
3 Kutora nguva uri mukati memukadzi wako
4 Kurezva mukadzi mapedza kuisana kwete kutendeuka wobatwa nehope.

Kana munhu akarara nevakomana vaviri akabata nhumbu, ichokwadi here kuti nhumbu ndeye wekutanga wacho?Une makore manganiko iwe. Shuwa mukore uno ungavata nevarume vaviri pasina hapo kana kondhomu here? Zvaita sei? Wakatemegwa nyora yekuiswa here? wandigumbura chose.

Mimba inobata zvichibva kuti nguva yako yokumwedzi iri papi, uye murume wawavata naye ane mhodzi dzakawanda sei dzine utano (healthy SPERM) muurume hwake (SEMEN)  Zvinokwanisika kuti wawatanga kuvata naye anokupa mimba, zvokwanisikazve kuti wawapedzisira kuvata naye anokupa mimba.

Kana ikavata navo sese pavhiki imwe chete, hazvigoni kuti uzive kuti mimba ndeyaupi.  Zvotoda mwana azvagwa moenda naye kuDNA TEST nevarume vese. Asi chokutanga kasira kundotesitwa HIV nezvimwe zvigwere zvechihure. Usarega mimba ichikura usingazivi zvigwere zvaunazvo kana unazvo. Pamwe hauna chigwere.

hwisisazve kuti kana une mimba inguva yaunofanira kugaroiswa nomurume kuti kuzvara kukuitire nyore. Zvikuru mimba yokutanga. Kugaroiswa kunorapa zvigwere zvakati wandei. Uye kunoderedza DEPRESSION inobatwa nevakadzi kana vazvara.

Ndingaita sei kuti murume wangu anakirwe pabonde?Murume umwe noumwe ane zvaanofarira pakuisana kwenyu. mukadzi umwe noumwe ane zvaanofarirawo. iwe pane zvaunofarirazvisinei nokuisana kwevamwe vakadzi nevarume vavo.

Kuti uhwisise zvinonakira murume wako bvunza murume wako kuti chii chaanoda kuti umgare uchiita chinomunakira. Gara uchibvunza nguva nenguva kuti akuudze zvaanoda. Iwewo muudze zvaunoda mese munakigwe nokuisana kwenyu.

Asi hwisisa kuti kana waziva zvaanoda chiona kuti unogarozviita. Kana akakuudza chaanoda iwe usingachidi, chitodzidzira kuchiita nokuti ndizvi zvinoda murume wako. Hakuna umwe murume wauchawana futi iyeyu ndiye wako. Unokwanisa hako kunoita hure reumwe murume asi uyu ndiye wako.

Vanhukadzi vakawanda kana akaita chikomba anoitira chikomba zvese zvese asi murume wemumba anonyimwa zvaanoda. Uku kusahwisisa zvachose chose. fadza murume mumba iye akufadzewo.

Is it normal kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi umwe chete? Zvinokwanisika chose kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi, kudarikira mwedzi, kumira zvachose kuenda kumwedzi iwe usina mimba, Zvinoitiswa nokusakwana kana kuwandisa kwema HORMONE maviri anohi ESTROGEN ne PROGESTRONE. 

Usavhunduswa nazvo asi enda kwamurapi undovaudza kuti ndiyo nyaya yako, vanokwanisa kuzvigadzirisa. 
Ndibatsireiwo pakufunga nokuita. Ndakaroorwa muna May 2017 ndokubva tabvumirana kumbomira kuita mhuri. Ndakashandisa mapiritsi. Muna April tikabvumirana kutanga mhuri. Kubva ipapo murume tikarara tese anotundira panze. Haadi kunditundira mukati. N doita sei? Nyaya iyi inonetsa kunatsa kuhwisisa nokuti uri kuti munobvumirana pakutaura. Zvoita sokuti murume ari kungobvumirana newe asi iye asingadi mwana. Zvobva nokuti iwe chiri kukunetsa pamoyo chii, inyaya yokuti unoda kuita mimba here kana kuti haufariri kuti murime anoteurira pazhe.

Kana iri nyaya yemimba, hwisisa kuti kuteurira pazhe kwake hakudziviriri mimba nokuti paanozofunga kubuda muchitubu mako, madomhwe eurume anenga atombobudiramo saka unokwanisa kungobata mimba zvakadaro. Kuteurira pazhe hazvinyanyi kubatsira panyaya yemimba.

Vanhukadzi vakawanda vanofarira kupiwa urume mukati saka kana zvichikusembura kuti murume wako aorasira pazhe, unofanira kutaura naye kuti asazviita. Kana ukahwisisa kuti inyaya yokuti haadi mwana, dzokera pamapiritsi kusvika iye ega azoti chirega tigadzire mwana. 
Ko mushonga unowedzera ropa unowanikwa kupi? Mushonga weropa imvura. Imwa mvura yakawanda, zvikuru uchangomuka makuseni, womwa mvura . Womwazve imwe kwapera nguva inoita awa uati wawana zvokudya. Unozodya kwapera kanguva wambomwa mvura kaviri kana katatu.  Wodaro zuva nezuva wosweromwa futi mvura zuva rese.

Uchaona ganda rako kuwedzera kutsetseka. utano hwako kuwedzera, uye kana uri murume uchahwa mukadzi wako okuudza kuti mazuva uri kumupa urume hwakawanda zvikuti anonyorovesa mubhedha nokuvhinza avete.
Kana uri munhukadzi zemo rinowedzera uye unowedzera kudziya muviri. Pakutsetseka ganda murume wako anowedzera kufarira kuvata newe. 
9Pakusv**ana, chombo chomurume chinopinda chese here kana kuti chidimbi chete? Ndiri kuchata muna August saka ndiri kutya kusv**wa asi hapana mukana wekusaita.Chombo chomurume chine saizi unobva pa 12 cm kusvika pa 20cm kureba zvichibva nokuti ndiani murume wako. Kukora kana tichitarisa sokusunga bhandhe chinoita 10m kushika pa 14 cm

Munhukadzi kana asina zemo akadzika 8cm kusvika pa 10 cm Kana ava nezemo anotatamuka zvokukwanisa kupinzwa chombo chikuru chikobvu pasina kana chinotyisa. Ingohwisisa kuti unofanira kutanga wanyorova zvokunatsa kunyorova. Zvadaro musi wekutanga vata nemanhede wovhura makumbo murume oenda pakati pemakumbo wopinza chombo. Pamwe hafu yacho ndiyo chete inopinda. Kuti chombo chese chipinde unenga watosimudzira chiuno.

Kureb kwechombo hakuna chinotyisa. Chinokwana mukati chete. Kukora ndiko kwaunohwa kunakigwa nako nokuti kunokutatamura mukova. Zvinonaka kupfuura kugofiwa nokureba kwechombo.

Kana uri mhandara uchahwa paanotanga kupinza unobvaruka chivharo zvoita sewabaiwa netsoni asi kanguva kadikidiki zvatopera watova kubatirira murume motoisana nyaya yatopera. Kubva ipapo watori mukadzi wemunhu. Mazuva ekutanga hazvinyanyi kunaka asi unenga uchifarira chose kuiswa. Asi zvichawedzera kunaka kana wajairira. Uye dzidza kurerusa muviri pakuiswa kuti zviwedzere kunaka.

Asi iwe wega tanga wahwisisa kuti murume wako anofanira kukupinza chombo papi pacho. Kune vakadzi vakawanda vasingamvizvitarisi zasi. Tora MIRROR uise pasi ugotonona wakatanyanga MIRROW ugozvivhura matinji uchiona pachazopinda nechombo. 
10Kufunuka kumeso kurapwa nei? Zvinobva nokuti chikonzero chekufunuka ganda ndechipi. Kune zvinhu zvitatu zvingakonzera zvinoti

1 Kana uri munyika inopisa chose ukafambafamba usina kupfeka ngowani unokwanisa kufunuka ganda kwapera mazuva maviri.

2 Kana une chigwere che Eczema kana Dermatitis unokwanisa kufunuka ganda

3 Kana ukashandisa CREAM isingawirirani neganda rako unokwanisa kufunuka ganda.

Kana zvichigaroitika enda undoongorogwa upiwa mushonga
  
11Pane chinoratidza here kuti mukadzi ane Makongo marefuChokutanga hwsisa kuti uri kubvunzei. Hapana nokuti hakuna mukadzi ane makongo. Munhukadzi umwe chete anoita gongo rimwe chete ratinoti BHINZI, KABHINZI, CLITORIS.

Saizi yebhinzi inobva pakadikidiki 5mm kusvika pahombe 2cm. Uye bhinzi inogara yakafukidzwa nekakaita kaJACKET kanohi CLITORAL HOOD. Asi kana mukadzi ava nezemo bhinzi inomira sezvinongoita chombo chomurume yokura asi hapana kwainokurira inongoita kana 3 cm.

Matinji ndiwo angahi marefu.

Kana usingahwisisi mamirire akaita munhukadzi verenga apa

Kuziva mamirire akata mukadzi
12Murume anoziva or kuwona sei kuti mukadzi anga agarisa asina bonde after or during sex?
Kana munhukadzi akaita nguva refu asina kuiswa pane zvinoitika muutano hwake zvinozikamwa zvinoti:

1.      Madziro echitubu chake anodhambha zvokutadza kushinya chombo paanozotangazve kuiswa.
2.      Zvigwere zvpamberi zvinohi UTI (Urinary tract Infection) Zvinoita zvishoma
3.      Kushungurudzika nokusuruwara (DEPRESSION) kunowedzera
4.      Njere dzinoita shoma pazvinhu zvinoda kushandisa njere.
5.       Kuita Zemo kunoita kushoma.
6.      Paanozotanga kuiswa, anononoka kunyorova kana kutadza kunyorova zvachose zvichibva nezera rake.
7.      Panguva yokuenda kumwedzi anowedzera kugwadziwa.

Tichitarisa zvese izvi tinoona kuti zvinonetsa kuti umwe munhu akwanise kuona kuti pane chiripo panguva yokuisana. Hapana chingahi ukaona ichi zvoreva kuti anga agarisa asina kuvata nomurume kana kuti akavata nomurume mazuva maviri aphuura kana kuti vhiki yakapera kana kuti madeko.


Kana ukavata nomukadzi wako sokuti maheru, mangwana kuseni hapana chingaonekwa paari chinoratidza kuti makavata mese. Kana akaenda kuchipatara vanokwanisa kuwana urume mukati make asi vanotoita zvokumuvhura chitubu vonatsa kutarisa. Urume hunogara mukati memukadzi mazuva mana huchikwanisa kumuitisa mimba asi hazvionekwi noumwe murume anoisana naye pamazuva mana iwayo. Hapana chaanoona. 

13Kubviswa chibereko ne chirungu kunonzi chiyi pamunhu kadzi? Kubviswa chibereko (UTERUS kana kuti  WOMB) kunohi HYSTERECTOMY pachirungu. Kana wabviswa chibereko zvoreva kuti hauchakwanisi kuita mimba asi pakuisana hakuna siyano pamuri mese murume nomukadzi.

Zviri nani kuti paunonobviswa unoudza varapi kuti vasabvisa zvikandiro zvako ( OVARIES) nokuti zvine mabasa pama HORMONES.

Kupora kunoita nguva inopfuura mwedzi nehafu kureva kuti menge musingavati mese panguva iyi kusvika wanatsopora. 
14Kudyiswa wakarara kunoitwa sei? kana umwe wako achifunga nyaya yokukudyisa zvoreva kuti iwe pane chausiri kuita pakudanana kwenyu chiri kumushungurudza. Vese varume nevakadzi vanotsvaka kudyisa vamwe vavo.

Asi chokwadi ndechokuti mishonga yese inoshandiswa pakudyisana hapana chainoshanda. Dzinongori shungu dzokuti dai munhu uyu andidawo sezvandinomuda ini. Kana ukaziva kuti wakadyiswa usaita hanya nazvo nokuti hazvishandi chinhu, asi hwisisa kuti anokuda chose. 
15Ndinoda kudzidziswa kukoira? Unoda kudzidziswa naniko? Ko kungopurakitiza pamurume/mukadzi wako zvinodii? Hino ukamirira kuti pane munhu achazouya okudzidzisa uchamirira kusvika riini?

16How do I fix mukadzi anohura? Kana mukadzi wako achihura hwisisa kuti kuhura kwevanhukadzi kwakasiyana chose nekwavarume asi vese vanokwanisa kuunza rufu mumba. Hakuna munhu anofanira kukurudzigwa kuhura nokuti chinhu chakaipa chose.

Hwisia chikonzero chaitisa kuti ahure. Chikuru chinokonzeresa vanhukadzi kuhura kushaya rudo mumba. Kana mumba musina rudo munhukadzi anokuhurira. Koitazve kuti unomuda uye unomutaridza rudo asi pakuisana unomukasirira. Hakuna chinhu chinobhowa saichocho. Ukaita nguva uchidaro anokwanisa kufunga kuti haumudi obva atanga kuhura.

Kana ahura, chirega kufunga kuti zvaperera ipapo. Bodo, vakawanda vese varume nevakadzi kana akatangakuhura haacharegi. Excitement iri pakuhura yakawandisa zvokuti inoita munhu ade kuhura. Kana wada zvokumuFIKISA, murambe adzokere kumusha kwavo iwe wosara wotsvaka umwe asi uchaona kuti uchawana umwe anokuhurira futi kana usina kunatsa kuhwisisa kuti uyu wawaramba sei ahura. 
17Kana ndichirwadziwa pakuita bonde nemurume chingava chii uye ndingaita sei Zvinobva nokuti panogwadza chaipo ndepapi. Unokwanisa kugwadziwa pazvikandiro, mukati mechitubu, Kana kuti unotsemuka kuzasi kwechitubu.

pano tongotaura nokugwadziwa mukati kunoitiswa nokuti hauna kunatsonyorova. Kana moda kuisana imboitai nguva muchirezvana kusvika wanyorova  mukati zvinoti unotosinira zvichibuda kutaridza kuti kwanyorova. Zvadaro chirega murume apinze chombo.

Kana usinganyorovi nokurezvana chishandisa mafuta awa kuwedzera kunyorova.

Shandisai KY jelly  kana muchifunga zvemimba. Kana musina hanya nemimba muchingoda kuisana kusingagwadzi shandisai maoiri awa anoti 

1 Walnut OIL
2 Almond OIL 
3 Coconut OIL

Dsese dzikunhuwirira kunoenderana nekuita zemo. Donhedza madomhwe eoiri pamukova wechitubu, uye kuzora oiri pachombo chomurume paanenge oda kuti muchitanga basa. Zvinoita kuti kuisana kusakugwadzisa. 
18Ndingaita sei kuti murume asaita chihure?


Mushonga wekuchengetedza murume unowanikwa kupi?
Hapana chaunokwanisa kuita kuti murume wako asahura. Iye ndiye ega anokwanisa kurega kuhura zvabva mumoyo make kuti achirega. Hakuna chimwe chaunokwanisa kuita kana kumuitira chingamuregesa kuhura. Kune vamwe vanoti kune mishonga yokuregesa varume kuhura asi chokwadi ndechekuti dai mishonga yakadai yaishanda dai kusisina murume anohura.

Iwe chaunofanira kuita kana uchida murume wako nokuhura kwake, kumuudza kuti zvinokushungurudza uye kana achihura ngaashandise makondhomu kuti iwe usazobata chigwere.

Zvinozikamwa kuti varume vanoti ambohura ozokwanisa kuregera vashomana zvokuti mudunhu rokwenyu unokwanisa kushaya kana umwe chete. Chihure chinoitiswa nokumhura muhu waunaye mumba saka zvichinetsa kuregera. Unoonekwa somunhu asina maturo nomurume wako. Hapana chaunokwanisa kuita. Ndiwo maonere ake kana achikutarisa. 
19 Ndikarara nemukadzi arikumwedzi anoita mimba here? Aiwa bodo haaiti mimba. Mimba inozotanga kubata kwapera mazuva kuda manomwe mukadzi abva kumwedzi. Anozikandira zai ave kuenda kumazuva 13-15 asi hwisisa kuti urume hunorarama maziva mana huri mukati memukadzi saka munokwanisa kuisana neMuvhuro manheru iye ozobata mimba neChishanu manheru.

Asi kana musingadi mumba itai tsika yokuisana iwe wakapfeka kondhomu. 
20Ndibatsireiwo. Chii chingaita kuti ndinakirwe nemurume? Kuti udzidze kunakigwa nokuisana nomurume wajo iwe pachako unofanira kuziva zvinokunakira. Unofanira kuhwisisa zvinoda muviri wako sokuti kana uchizvibatabata murume asipo undohwa maitire api achinaka. Kana wahwisisa chiwana mukana wekutaridza murume wako kuti izvi zvinonaka izvi hazvinyanyi kunaka.

Vamwe vanhukadzi vanonakigwa kana murume achitora nguva refu ari mukati memukadzi vachipota vachikoirana, pamwe vombozorora murume ari mukati, Pamwe mukadzi omboisa maoko pakati ozvikwizirira bhinzi murume ari mukati make (zvinonaka izvozvo)

Kana murume wako ari munhu ane njere anokwanisa kuzokubatsira kuti unakigwe. nokuda kwekuhwisisa zvinokunakira. Vanhukadzi vakasiyana siyana asi vakawanda kunakigwa kwavo kunobva pabhinzi saka iwe hwisisa bhinzi yako.

Vamwe varume vane njere shoma havatodi kuti mukadzi anakigwe. anongoda kukupinza chombo obva angoti kupinda nokutotunda nguva imwe cheteto pasina chamboitwa. Hazvinaki izvozvo. Murume ngaazame kuisana ari mukati mako kupfuura maminitsi manomwe.

21Chii chinokonzera mvura yakawanda mukati memukadzi pakuisana? Chinokonzera vura yakawanda izemo. Kana mukadzi akada chose kuiswa anowedzera kunyorova. Kune vamwe vanoeredza. Hapana chakaipa. Kune varume vakawanda chose vanofadzwa nokueredza kwemukadzi wake nokuti anobvz aziva kuti mukadzi wake ane zemo rakakwirira.

Asi pane nyaya yokuti kuisana kana wakawanza mvura kunoderedza kukweshana kwenu zvoreva kuti pamwe kunaka kunoderera. Kana uchiona kuti unowedzeresa kunyorova, chinjai maitire sokuti ukavata nedumbu wakatandavara makumbo ari pamwe chete woisa pillow pasi pechiuno kuti ukwanisa kusimudzira chiuno kuti murume apinze. Kana ava mukati mese munokoirana asi unokwanisa kushinya chombo zvisinei kuti uri kueredza. Munohwa kukweshana kunonaka.

Mamwe maitire kupakicha makumbo ese pamafudzi amurume wakavata manhede. Murume anokwanisa kupinza xchombo chese zvacho uye kunyorova hakuna mbosva pakadaro. Ukatarisa kumeso kwemurume wako makadaro uchaona kuti ari kunakigwa nazvo. Iwewo kunokwanisa kugofiwa pa G-spot zvinova zvinonaka.

Kunyorova kwakanakira kuti kurume anononoka kutunda

22Mishanga:
mushonga wekukudza chombo
Mushonga wekukudza mazamu
Mushonga wekukudza magaro

mushonga wekudyisa murume
Mushonga wekudyisa mukadzi
Musonga wekusunga mukadzi
Mushona wekusunga murume.
Veduweeka ngatihwisise kuti mishonga iyi mupasi rese hakuna. Kana ukamuwana, Ndinyorere nokukasira nokuti unokwanisa kuita Billionaire gore risina kupera.

Mishonga yese iyi dzinongori nyambo dzevanhu vekubhawa kana vasisina nyaya dzinonakidza. Hakuna munhu ane mishonga iyi chero n'anga ipi zvaya chero muporofita upi zvake. Hakuna.

Musatombotambisa nguva muchitsvaka. Kurasha mari yaunayo muhombodo mako pasina chaunowana pazviri.

Hwisisazve kuti mhomho yevanhukadzi vanoda chombo chesaizi yakaanira kwete ziguru runogwadza kuiswa naro. Kugwadza handiko kunakigwa. Chombo chimire chinosvika pa 13-15 cm kureba, kukora 12-14 cm. Hwisisazve kuti chombo chomurume umwe chete chine masaizi akawanda zvichibva nezemo rake.  
23Munhukadzi anobvumidzwa here kubata chombo chemurume wake? Ndashaya kuti mubvunzo uyu wava kupi. Vanhu vakaroorana vanogarorezvana vachibatana pamberi pakupanana zemo vachigadzirira kuisana. Saka handisi kuhwisisa kuti mubvunzo wakanangepi.

Hazviiti kuti uve nomurume mumbba ugopedza 24 HOURS usina kubata chombo chomurume wako. Zvinenga zvaita sei? Munhukadzi wese ane murume anoshamwaridzana nechombo chemurume wake.

Kana murume akaneta asi muchida kuisana, unokwanisa kumupurudzira chombo kusvika chamira. Zvoreva kuti watochibata.

Kana mukatanga kudyanana pamberi, iwe unobata chombo wotanga kuchisveta, zvoreva kuti watochibata nemaoko.

Kana murume ava nezemo, iwewo wanatsa kunyorova, toti wavata manhede wavhura makumbo, murume pakati. murume haakwanisi kuona pokupinza chombo saka iwe unoisa ruoko pakati penyu wotora chombo wochinangisa murume opinza.

Kana mapedza kuisana iwe unotora tawero wopukuta chombo chomurume wako, pamwe wotombochiputira netawero nokuti murume anokwanisa kuramba achivhinza osvibisa mashitibheta, Saka ukamboputira anovhinzira mutawero.

Saka zvinokwanisika here kuti mungagara mese mumba musingabatani pamberi? Menge muchizviita sei? Hameno pamwe kune vanogara upenyu hwakasiyana. Tijekesereiwo tohwe. 

24Murume wangu kare aishanda pabonde zvinofadza. Parizvino akaita kana two minutes chaiyo anenga atowanza. Ndenge hure rake. Handisisina mufaro. Ndibatsireiwo Please. Panyaya yokukukasirira apa, unofanira kuhwisisa chose kuti unofanira kuigadzirisa nokuti ndicho chimwe chezvikonzera zvinoitisa vanhukadzi vane varume, vaite sevasina varume. Zviri nani kugara usina murume zvachose pane kita murume anokukasirira. Gadzirisa nyaya. Kuigadzirisa tanga nokutsanangurira murume wako kuti unomuda chose asi zviri nani kuti mese munakigwe pakuisana. Womuudza kuti maminitsi maviri haaite. Kunodiwa kuti apfuure kumanomwe. Asi kuti zviitike unofanira kumubatsira. Womudzidzisa kupinza chombo nokuita nyaya makapindana pasina anofakanyika kwekanguva, Mombopatsana monoita chimwe chinhu chisinei nokuisana. Modzokera pakupinzana momboita futi dzimwe nyaya. Izvi zvinoitigwa kuti murume ajaire kudziya kwemukato memukadzi wake kuti akwanise kunonoka. Saka mopota muchidaro. Zvinotora nguva kuti murume ajaire kunonoka.


25Ndiri murume ane mari asi handisi mufumi hangu. Ndinoda musikana wekuroora asi ndoda anoda ini kwete mari yangu. Ndomuwana kupi? Kana uchisangana nokunyengana nevasikana usavaudza nezvoufumi hwako. Ingoitai nyanya dzerudo uye mabasa. Kune vasikana vashomanana vanotsvaka mari pamurume. Vamwe vese vanoda murume anoshanda, anemoyo wakanaka, uye anokwanisa kuriritira mhuri.

Asi zvinonetsa kuvanza nyaya yokuti une mari. Kupfeka kwako nevanhu vaunofambidzana navo zvinoratidza kuti une mari here kana kuti kwete, saka pakutaura woona kuti hausi kushambadzira nyaya dzemari. 
26Ndiri kuda kudya chombo chomurume asi ndinonyara kumuudza. iye haazivi kuti ndinoda.
Uye handizivi kuti ndinodya sei.
Unofanira kutanga wabvumirana nomurume wako kuti unoda kumudya. Kana akapusa anokubvunza kuti wazvidzidziswa nani, nokuti varume zvinovanetsa kuhwisisa kuti mukadzi angakwanisa kufunga ega nyaya dzokuisana. Vanofunga kuti unenga watodzidziswa noumwe murume.

Kana ane njere hazvikunetsi. Unongokumbira kumusveta chombo anokuti sveta hako. unomubata chombo muruoko mabva kunogeza, wotanga nokunenzva norurimi chete. Unotoona chichiwedzera kumira.

Pota uchibvunza kuti zviri kunaka here. Pamwe anokuudza zvimwe zvokuita. Kana asina kukuudza unokwanisa kutanga kumusveta sezvaunoita chihwitsi chine chitanda. Sveta zvinyoronyoro uye usa rega mazino achinosangana nechombo. Pamwe ita zvokumwa semwana ari pazamu, asi zviri zvinyoronyoro.  Hwisisa kuti chinonakira murume wako ndechipi ndichochaunowedzera.

27Ndodawo kuziva zvokuita wabata mukadzi achihuraKana wabata mukadzi/murume achihura, chikutanga enda unotesitwa kuti hauna kupiwa zvigwere here, nokuti munhu anohura haana kutangira ipapo. Zvoreva kuti unokwanisa kunge watova nezvigwere. Unofanira kuksira kuziva paumire.

Zvadaro kasira kuudza hama dzenyu mese. Kana mune vana kasira kufunga nezvevana. Matori pa CRISIS MANAGEMENT. Funga vana vako. Usaita hasha nemunhu nokuti zvinozoita sokuti pane chawaita kuti ahure. Kana uchikwanisa kutonyarara zvachose worega kutaura naye nezvaaita kusvika wanatsa kudzikama hana.

Chihwisisa kuti nyaya yawava nayo yoda kuronga kutsva nokuhwisisa kutsva. Zvibvunze kuti chii chauri kuda kuita panyaya yako. Unoda mukadzi/murume wako here? Kana uchimuda mude hako asi hwisisa kuti vanhu vakawanda vanohura hazviiti kuti varegere kuhura. Asi kana uchiziva kuti chihure chake ndiwe wachikonzera nokuda kwezviito zvako, sokuti kusamugutsa, kusamuratidza rudo, kumusiya ari ega pamba uchienda kubasa kure, zvoreva kuti akanganisa asi iwewo uripo pakukanganisa kwake. Kana munhu akamboravidzwa nyaya yokuisana zvinomunetsa kugarisa asina, zvikuru kana pasina vimbiso yokuti zvichadzoka riini.

Kana wafunga zvokuita, sokuti mukadzi/murume hauchadi chikasira kumuudza. Pamwe iyewo haachakudi saka hazvinetsi. Pamwe anonyebera kuchema kuti asatukwa. Hwisisa kuti kunyebera.

Kana pane munhu mukuru mumhuri yenyu, ngaauye mutaure nezvevana.

Kana usingazivi zvokuita, wana mukana wekuti muparadzane usare uchifunga zvaunoda mozotaura wava kuziva. Kana muri kune imwe nyika mese musina kwekuenda kana mukaparadzana, zama kuti mumba muve noumwe munhu nokuti kana munhu akagumbuka anokwanisa kukuvadza umwe.

28Ndingagutsa sei mudzimai wangu pabonde?Hakuna munhu anokwanisa kupindura mubvunzo wako zvakakwana nokuti umwe noumwe munhu anoguta zvakasiyana. Saka iwe kuti ugutse mukadzi zvinobva nokuti iye chii chaanoita kana ari ega chinomugutsa.

Saka ita zvokubvunza kusvika wahwisisa kuti chii chinomunakira. Kana wahwisisa, chihwisisazve kuti kunaka kwezvese zvinomunakira kunobva pakuti iwe unotora nguva uchizviita. Kutora nguva kwemutume kwakakosha chose. Kana mabvumirana zvokupinzana chombo. Pfuudza maminitsi manomwe uri mukati memukadzi wako.

29Kukurumidza kurasa mbeu pabonde zvinokonzerwa nei?Zvinokonzegwa nokushaya hanya nokunakigwa kweumwe wako. Kukurumidzigwa nomurume zvinosvota zvisingaite. Zvinokonzera vakadzi vakawanda chose munyika dzakasiyana siyana kuti vafunge zvokuhura nokuda kwekusvota kwazvinoita.

Unofanira kufunga pamusoro pezvauri kuitira mukadzi wako. Chinhu chakanaka kuti watanga nokubvunza. Chifunga zvaugaita kuti uwedzere nguva naye. Chokutanga kutaudzana naye pamusoro pezviri kuitika kuti mese muzive kuti inyaya yokubatsirana kuwedzera nguva.

Kuisana chiito chinodzidzisanwa sezvinongoita zvimwe zviito. Chinonetsa ndechokuti imi muri vaviri ndimi munodzidzisana asi pamwe mese munotodawo kudzidziswa. Kuti unonoke chombo chinofanira kujaira kudziya kwemuviri wemukadzi. Saka funga kuti unochijaidza sei.  
30Kana tambotukana tikanyararirana, tinozotanga sei kutaudzana uye ndiani anotanga kutaudza umwe? Kana muri vanhu vane njere hamufaniri kunyararirana muchiti nokuti matukana. Kunyararirana kunotanga nomunhu umwe chete kunyararira umwe. Iyeye ndiye anofanira kuzotanga kutaudza umwe, nokuti ndiye benzi. Kana umwe wako atanga kukunyararira, iwe usaita hanya nazvo. Musiye akadaro. kana oda kutaura achadzoka ega otanga futi kutaura.

Asi munhu anowanzonyararira umwe anotaridza kushaya njere. Kana wagumbuka nezvaitwa noumwe wako, zviri nani kumutsanangurira kuti chii chaakanganisa kuti anatse kuhwisisa. 
31Chii chinoshandiswa kudzora kuzasi kwemukadzi kana wazvara? Verenga apa.
https://maichibwe.blogspot.com/2014/12/kudhambha-kwechitubu-chomukadzi.html

2 https://maichibwe.blogspot.com/2012/06/kusimbisa-masuru.html

Kana pane zvausina kuhwisisa wobvunzazve. 
32Handigoni kunyenga. Ndoita sei? udza hama neshamwari kuti hagoni kunyenga wovaudza kuti musikana wauri kuda ndeupi voenda vonokusvitsira shoko. zvadaro iwe wozoenda uchiziva kuti musikana ava kutoziva kuti unomuda.

Mazuvano zvakawanda zvinoitwa pafoni dzemuhombodo dzavako idzi. ingomutumira mashoko ehushamwari. Kana ava shamwari yako, garomuudza nyaya dzinofadza kusvika iyewo ava kukuydza nyaya dzinofadza. wongozomuudza kuti unomuda majairana. 
33 HIV inoonekwa sei? Ndingaziva sei kuti munhu ane HIV? Ndingaziva sei kuti ini ndine HIV? Kana wafungira kuti une HIV, enda kuTEST nokukasira HIV isati yadzika midzi. Kana ukabatwa HIV unkakasira kuenda pa PROGRAM unorarama nguva refu chose mazuvano. Vari kuti unopfuura 35 years.

Kana ukainonokera zvinozokuvhiringa mberi uko.

Asizve hwisisa kuti ndiwe wakonzera kuti uite HIV nokuda kwekusaita hanya noupenyu hwako. Mutemo wezvigwere zvechihure unoti iwo kana wada kuvata nomunhu, tangai maenda mese kuTEST, moudzwa pamumire, modudzirana mozobvunzana kuti mimba moidzivirira sei. Kana mabvumirana, mochitanga henyu kuvatana muchihwisisa kuti hamuhurirani. Kana umwe akahura, mumbomira kuvatana kusvika maenda ku Test kaviri pa mwedzi mitanhatu, Kana maregererana motangazve kuvatana.

Haisi nyaya yokuti iwe unofunga kuti utano hwako huri mumaoko eumwe munhu. Bodo usavata nomunhu wausingazivi STATUS yake.

34Mapiritsi ekudzivirira nhumbu angava nenjodzi here kumukadzi asina kumbozvara.Mapiritsi ukudzivirira mimba ane zvakawanda zvaanokwanisa kuita pamuviri wemunhukadzi asi zvinogadziriswa hazvo.

1 Unokwanisa kukanganisa nguva yako yokumwedzi. Unokwanisa kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi kana kumira kuenda kumwedzi zvachose.

2 Kana wazoti wabva pamapiritsi, unokwanisa kuita gore nehafu usingakwanisi kubata mimba.

Ndizvo zvikuru zvingaitika, asi hazvina basa kuti wakambozvara here kana uti kwete. Zvinoitika kune vakawanda. 
35Kusuwa chombo murume asipo. Ndoita sei?Tese tinoshuva varume/vakadzi vedu kana vasipo. Zvokuita ndezvokugarotaura navo pafoni. Asi iwe mubvunzo wako hausi wekuti unoshuva munhu asi kuti unoshuva kuiswa naye. Saka inyaya yekuti une zemo asi wekuvata naye haapo.

tanga wataura neye pafoni womuudza kuti uri kufunga nyaya yokuisana asi iye haapo. Iye achaziva kuti uri kumufunga. Iwewo uchiziva kuti ari kukufunga. Kana mapedza kutaurirana pinda muBEDROOM mako wokiya mukova, zvisinei kuti mumba hamuna umwe munhu.  Wozvibatabata nokuzvikwizirira bhinzi kusvika watunda wabva zemo.

Hakuna munhu, zvikuru verudzi gwedu, asingagoni kuzvibvisa zemo nemaoko. Uye tese tinoziva kuti manakire azvo akasiyana hawo nokuvata nomurume, saka zemo rinokwanisa kumbopera asi unongofunga kuti dai murume wangu aripo ambonditsimbirira ndichinatsa kumubata muviri wake, ndichinatsa kuhwa chombo chiri mukati mangu.

Ndoosaka tichikurudzira vakaroorana kuti zamai kugara mese, kwete kuti umwe uko, umwe uko. 
36Chii chinonzi maronda emudumbu?Maronda emudumbu ane mazita akasiyana paChirungu, zvichibva nokuti ari papi mudumbu.
1 Stomach ulcers/gastric ulcers
2 Duodenal ulcers
3 Esophageal ulcers

Ese zvawo anofanira kuti ukasire kundorapiwa uye kana ukaterera zvaunoudzwa ukazviita nomoyo wese, anorapika.  Asi anogwadza zvisingaite, saka terera. 
37Chii chingadyiwa kuti unakirwe nebonde? Kunakigwa nekuisana kunobva mufungwa kwete mumuviri. Muviri unoterera zviri mufungwa.Iwe muridzi ndiwe unotozvidzidzisa kunakigwa nokuisana. Hwisisa muviri wako. Sanganisa mafungire ako nezviri pamuviri wako.

Garokwizirira nyama dzakatenderedza bhinzi yako kusvika wava kuziva kuti mabatire anokunakira ndeapi, wodzidzisa murume wako zvokuita kukubatsira.

Usapinzwa chombo kuzasi kusina kunyorova. Zvinogwadza saka hazvinaki. Tanga wanyorova zvichibva pakurezvana muchikisana, kupurudzirana, kupa murume zamu achisveta. kukupurudzira matinji, bhinzi, magaro, etc. Iwewo kutamba nechombo chake, kana wada kuchisveta zvinova zvinokuwedzera kunyorova zasi.

Kana murume apinza chombo iwe isa maoko pakati penyu uzvikwize bhinzi iye achikukoira zvinova zvinonaka chose. 
38Ndingaita sei kusimbisa chombo? Hachisi kunatsa kumira. Chokutanga kukasira kuhwisisa kuti sei hisna kusimba. Pne zvikonzero zvakati wandai asi hikuru chazvo ndechokuti unokwanisa kuva nedambudziko pautano, sokuti chigwere chomoyo, kana kuti uri kushandisa mushonga we BP, saka zviri nani kukasira kuenda kumurapi wonotsanangura kuti chombo hachina simba kuti vakasire kuongorora nokukuudza chikonzero.

Kana chaimbori nesimba kare zvoreva kuti pane chawakaita kana kuti mishonga yauri kushandisa isingawirirani nokumira kwechoombo.

Kana waimboshandisa mishonga yokumisa chombo ukazoregera chombo chinoramba kuita simba pasina mishonga yacho. Gadzirisa nyaya iyi nokukasira, zvikuru kana une makore ari pasi pe 65. 
39Ko candle rinobvisa humhandara here?

Ko chigunwe chinobvisa humhandara here? 
Mubvunzo wako haunatsi kuhwisisika. Kuti munhu ahi abva humhandara hunge apinzwa chombo nomurume. zvisinei kuti abvaruka chivharo here kana kwete. Kuzvipinza Vibrator, Dildo, kana chimwe chinhu hakunei nokubviswa humhandara.

Hwisisa kuti unokwanisa kuva munhu ane chivharo chake chisina kubvaruka asi usiri mhandara zvachose, kugowanikwazve umwe akabvaruka chivharo kare kare asi ari mhandara. kuva mhandara hunge usina kumboiswa nomurume.

Kana uchigaroshandisa ma TAMPON, uri kumwedzi, zvinoitika chose kuti unobvaruka chivharo asi uri mhandara.


Kune vasikana vakawandisa vanogarovata nevarume asi vasina kubvaruka zvivharo. Izvi zvinoitwa sokuti ukawana mukomana anofarira kungopinza kutsvina chete zvoreva kuti kuno kumberi unoramba usina kubvaruka. Kunyika zvinji mazivano ndizvo zvavanoita. kuitira kuti akawanikwa agoti imhandara, zvikuru vechiMoslem vanokwanisa kuzopanichiwa.

Unokwanisazve kupinzwa chombo ugosabvaruka chivharo. Izvi zvinoitika chose cokuti chivharo chinotatamuka saka kana murume asina EXPERIENCE yokuisana, iwewo usina, unokwanisa kuiswa ugosabvaruka. Asi hauchisiri mhandara nokuti wava kuziva chombo.

Unokwanisazve kunakigwa chose asi chombo chisina kunatsopinda. Ingari yokuti kunaka kwakawanda kunobva pabhinzi.

Vashoma vanhukadzi vane hanya nokuzvipinza chimwe chinhu. Chikuru kungokwiza bhinzi kana uri wega. Usazvinetsa nemakandhuro kana chihumwe.

Hakuna umwe munhu anokwanisa kuziva kuti uri mhandara here kana kwete kuzhe kwako iwe nomukomana awakavata naye. Vamwe vese vanozotevera ava kungoita zvokufembera asi hazviiti vave nechokwadi pazviri.

40Ko kana ndichiisana nomurume ndinofanira kuita sei?Iwe unofunga kuti unofanira kuita sei? Varume vanhu vakatosiyana siyana. Umwe noumwe anofarira zvaanofarira, saka unofanira zvaanofarira. Iwe chokutanga musati maisana, bvunza murume wako kuti chii chaanofarira kuita newe. Kana akuudza woita izvozvo. Kana asina kukuudza, ramba uchibvunza.

Kana moda kutoisana bvunza kuti anoda kuita sei? Kana akuudza ita izvozvo. Usangoiswa usina kubvunza kuti anoda kuita sei? Wabvunza, mirira apindure. Kana usingadi kubvunza, muudze zvauri kuda iwe.

Mava kuisana taridza kuti zviri kukunakira. Batirira murume, chemerera murume, shandisa chiuno murume aite manyawi nazvo.

Shinya chombo chomurume nechitubu chako. Woti Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu,

Kwii inoitwa kana chombo chapinda chese, uku wakabatatirira. Ukahwa oda kubuda woti Regedzu.
Kana ukahwa oda kunotunda, purudzira magaro ake uku womuti KWIII ari mukati. Kana uri pa manhede sunga mabvi ake nemakumbo ako kuti asakwanisa kufakanyika achitunda. Ramba uchipurudzira magaro kusvika apedza kutunda. Unoona achibuda rute nokuwedzera kubwaira nokuda kwekunakigwa.

Asizve iwewo anokuzadza urume saka uchawedzera kuvinza kana mapedza.
41Kana uchida magaro makuru uniita sei?Kukura kwenhengo dzomuviri kunoitiswa ne anohi ma GENE aunopiwa navabereki vako. Hapana zvaunokwanisa kuita kuwedzera kana kutapudza makurire akaita zvinhu zvinoti
magaro
matinji
bhinzi
chombo chomurume wako.
mazamu

Zvimwe unokwanisa kuwedzera kudya wokora kuita zimuviri ziguru, asi uchashaya utano.

Chikuru ndechokuti unofanira kuramba uri zvauri kubva pawakanyengwa nomukomana wako nokuti ndizvo zvakaita akude izvozvo. 
42Chii chinoita kuti chombo chirambe chakamira kwenguva yakareba pakuisana? Kana une utano hwakakwana chombo chinoramba chakamira kusvikira muridzi atunda urume. Kana ari murume ane DISCIPLINE anononoka kutunda, zvoreva kuti chombo chinoramba chakangomira kusvika azotunda. Mukadzi wake obva anakigwawo chose. Varume vanokasira kutunda, sokuti havasviki maminitsi manomwe ari mukati achikwesha, havanakiri vakadzi. Zvikuru kana une murume akadai uri padambudziko guru nokuti haanaki. 
43Chii chinokonzeresa kuti musoro urwadze?1 Kana usingamwi mvur yakakwana pazuva unohwa musoro. Unofanira kumwa mvura inoita makapu 8 kana kuti ma LITRE maviri pa 24 hours

2 Kana usingavati nguva yakakwana inoita ma AWA manomwe kana masere zuva rimwe nerimwe.

3 Kana une BP yakakwira unoita musoro.

4 Kana uchidya zvokudya zvakawandisa Unoita musoro. Kana ukakunga chibhakera hwisisa kuti zvokudya zvaunodya katatu pazuva zvinofanira kuenzana nezvibhakera zvako zviviri. Saka pazuva unodya zvokudya zvakaenzana nezvibhakera zvitanhatu (6)
6 Kana uchinonoka kuenda kuchimbuzi kana muviri woda zvechimbuzi, unoita musoro.

Kana wagadzirisa zvese izvi asi uchingogwadziwa musoro kasira kundoonekwa nokuti pamwe unenga une chiri kukura mumusoro. Kana kuti wakambokuvara musoro saka pane dambudziko rinoda SCAN kana X_RAY. 
44Chii chinoita kuti murume ade kuita marounds akawanda.Varume vanhu vasinganatsi kuhwisisa kuti chii chinonakira munhukadzi pakuisana. Vanoona sokuti Kupiwa urume ndizvo zvinonakira munhukadzi.

Chinohi RHOUNDI inguva yokubva murume paanopinza chombo kusvika paanotunda zvisinei kuti aita maminitsi mangani. Varume vakawanda vasina ruzivo pazviri vanoona sokuti mukadzi aktundigwa urume kakawanda zvoreva kuti anakigwa.

Boro. Munhukadzi anokwanisa kunakigwa zvakawandisa atundigwa urume kamwe chete nomurume anotora nguva refu achikweshana nomukadzi wake, pane anoita miniti imwe chete obva atotunda. Nguva refu ndiyo inonaka, kwete kuti mrume atunda. Varume dai mahwisisa nyaya iyi.

Ukazomukirawo hako mukadzi wako usiku wambomukweshakwesha kwemaminitsi anopfuura manomwe pamunoisana pokutanga, hazvichina mhosva. Chakaipa ndechokuti ma rhaundhi mashanu asi mukadzi haana kana kumbogutawo asi avata akasvinura. Bodo musadaro.

Chinoitisa murume akwanie kuita maRhoundhi kugaroita marhaundhi. Muviri unotevedzera zvaunoda iwe kugaroita. Mukagaroisana katatu pazuva mese munopedzisira mongoda kuisana kakawanda pazuva. Mukaregereranawo ndizvozvo.


45Kuzvibatabata uriwega kana kuti muri mese (bonyora) kunobatsireiKunobatsira kubvisa zemo. Kana une zemo unokwanisa kupedza zemo wega kana kuti neumwe munhu. Kana uri wega unozvibatabata wozvikwizirira bhinzi nepamberi kusvika watunda. Kana uri munhu wezera rechidiki unokwanisa kutora nguva, asi kana wapfuura makore 26 kazvinji hazvinetsi.

Kuvarumewo vane maitire avo kuti azvitundise ega.

Kana muri mese murume nomukadzi, Mukadzi anokwanisa kuzvikwiza bhinzi murume ari mukati make, kuti mese mutunde zemo ripere.

46Chibereko chinosukwa sei? Chibereko chinongosukwa kuchipatara chete. Hakuna kumwe kunokwanisika kusukwa chibereko. Usaenda kun'anga kana kumuporogita kana kune umwe munhu. Enda kuchipatara chete chete. Vanotanga vakutarisa kuti unofanira here kusukwa chibereko. Zvadaro vanokusuka chibereko.

Hazvikwanisiki kuitwa pasina chipatara. 
47Musikana anobatwa pai kuti ade bonde? Musikana haabatwi kuti ade bonde. Kana ava munhu abva zera anotoda bonde pasina zvokuti abatwa kana kuti kwe. Kuda bonde zviri muvanhu vese. Munenge matobvumirana kuti mese muri kuda bonde. Kana musina kubvumirana usatombomubata nokuti anokwanisa kukusungisa.

Chokutanga bvumiranai kuti mese muri kuda bonde. Kana umwe asingadi hapana chinofanira kuitika.

Chechipiri chiitai zvokubatana makamirira kuti mukadzi anyorove. Zvinokwanisa kuita nguva sokuti maminitsi gumi nemashanu kusvika kumakumi maviri muchingo tamba.

Chechitatu mukadzi opfekedza murume kondhomu.

Chechina moisana murume oita nguva ari mukati memukadzi kusvika maminitsi anopfuura manomwe kuti mukadzi anakigwe. Zvadaro murume ozotundawo.

Chechishanu umwe wenyu obvisa kondhomu oriputira ne TOILET ROLL. Mukadzi ozvipukuta opukitawo chombo chomurume. Mombundikirana morezvana kuratidza kuti mese mafadzwa nezvamaita. Moudzana kuti zvange zvichinaka sei.

 Chechitanhatu: Moonekana moita zvehope. Kana mange magutisana mese, zvava zvamangwana mangwanani kuma5.30 am. saka vatai rimwe kondhomu riri pedo.

48Chii chingashanda nekukasika kudzora dumbu rakakurisa?
Ndine zidumbu.
Enda unotenga bhasikoro uchovhe zuva rimwe nerimwe kwnguva inopfuura hafu ye awa.

Idya zvokudya zvakakukwanira kwete kuwanza

Idya zvokudya zvine balance.

Pakubika usawanza mafuta.

Famba ma KILOMETRE maviri pazuva, uye kana une gadheni imbopota uchinotimba  kusvika wadikitira.

Chimbosiyana nedoro.

49Kunhuwa hapwa uchibva kunogeza kunokonzerwa nei? Kunhuwa hapwa kunoitiswa nema Bacteria anova amwe chetewo anonhuwisa pamberi, kuseri kezheve, pasi pemazamu (kana akawa), guvhu ana une rakawira.

Unokwanisa kugeza kaviri kana katatu pazuva asi hazvikubatsiri chinhu. Mvura haiurai maBACTERIA acho.

Kana uchida kutapudza maBACTERIA unoita chimwe chezvinhu zviviri kana kuti zvese zvinoti:

1 kunyorovesa nzvimbo idzi ne VINEGAR. Isa vinegar pa COTTON WOOL, wo nyorovesa hapwa, zvidya nepamberi, (bhenengura chakafukidza bhinzi woisa vinegar ipapo) kuseri kwezheve, pasi pemazamu, pakati pemagaro. Mirira 15 minutes. Chienda undogeza.

2 Tsvaka mashizha emu GUMTREE achiri echidiki, woakuya wonyika mumvura. Wogeza nemvura yacho. Mashizha awa ane munhuhwi we EUCALYPTUS usingadiwi nezvipukanana zvakawanda.

Kana wakashinga zora VICKS sezvinoitwa mafuta. VICKS in EUCALYPTUS OIL inotapudza ma BACTERIA. Wazora VICKS mirira kana awa, wozonogeza. Unokwanisazve kuizora woda kunovata wozogeza mamgwana.  Asi hwisisa kuti VICKS inososona, zvikuru pamberi.

Kaviri pavhiki mazuva okutanga. Wozopota uchiita kamwe pamwedzi. 
50Cocacola yakaboiliswa inobvisa mimba here? Chakanaka kuhwisisa kuti Mimba inoitiswa nokuvata nomurume pasina kondhomu kana kuti usiri pamapiritsi uye usina kupiwa COIL kana Implant. Murume wacho haasi wako futi.

Zvoreva kuti uri benzi remunhu hauna hanya noupenyu hwako. Murume wawakavata naye haanawo hanya newe. Zvino chiona pano wava kubvunza kuti COCACOLA inobvisa here mimba.
Cocacola in zvinhu zvinoti
1 caffeine citrate.
2 citric acid.
3 vanilla extract.
4 lime juice.
5 flavoring
6 sugar.
7 coca leaf juice

Pane zvese izvi chaunoonawo iwe chingabvisa mimba ndechipi?

Kana ukawana chinokwanisa kubvisa mimba ukada kuchishandisa chitanga waoneka hama dzako, zvikuru mai vako vakakurera kuti uite munhu kwaye iwe ndokufunga kuita benzi, Mai vako vachakuchema wafa. Kana ukararama, unenga wakuvadza chibereko chako zvokuti kana wazowana murume ane hanya newe, uchatadza kuita mwana naye.

Kana pane chausina kuhwisisa ndinyorere pa maichibwe@yahoo.co.uk tiongorore nyaya yako. Handina kufara chose nomubvunzo wako. 

Tuesday, 3 July 2018

Kupiwa mazano akaipa nevamwe.


Batsirai umwe wedu Peter 

Takatukana nenyaya isina kana basa mukadzi wangu ndokubva atanga kundinyararira kuita vhiki yese asingatauri neni, kana kuda kurara neni. Ndakambozama kuita sokuti hazvina nyaya asi zvakandibatabata. Ndaitumira Message pa WhatsApp iye asingapinduri. Kumba aingobika nokuwacha nokuita zvese zvemumba asi akangoti zii. Pamwe unongoona misodzi ichierera asi munhu haanzwiki kuchema. Anongondipa madrink akati zii.  Kana foni yake ikarira, anodavira iota nyaya nomunhu kunge pasina chakaipa. Achingopedza kutaura oti zii neni. Chero ndikabvunza kuti ndiani akufonera haapinduri.

Tinogara tiri vaviri chete saka zvinonetsa kuuya kumba ndichiziva kuti hakuna munhu.  Muvhiki rechipiri ndakaudzawo shamwari yangu dambudziko akati enda unomuudza kuti wava kutotsvaka umwe mukadzi nokuti vakadzi havaperi. Kana asingakude ngaaende. Ndakati But ndinomuda. Iye akati  ukamuudza kuti aende achavhunduswa obva atanga kutaudzana newe.  Akati kumbira musikana wepa Reception akutumire message pa WhatsApp ugonyebera kudanana naye.  Tenga ma Condom wosiya rimwe chete muhomwe yetiraizi rekubasa.

Ndakatererawo ndokunokumbira Shuvai kuti andibatsirewo panyaya yangu. Ndakamubvunza kuti anofunga kuti zvingashanda here iye akati zvinokwanisa kushanda asi ange asingadi kuti ndiise zita rake pama CONTACTS mufoni mangu, saka ndakatora number yake ndokuisa zita rokuti Tsitsidzashe, ndokuchitanga kutaudzana naye pa WhatsApp. Vhiki yoda kupera ndakatengawo maCondom ndokuisa rimwe chete mu homwe yetitrauzi rokubasa.  Musi we Thursday ndakanonoka kuuya kumba. Friday ndakanonoka kuuya kumba. Saturday ndakakasira kumuka ndokubuda. Ndakazodzoka kumasikati ndokuwanika awacha zvese zvaida kuwachwa. Ndakaenda kunogeza ndokusiya shirt yangu nefoni pamubhedha. Hapana zvaakataura asi ndakawana foni isinri zvayange iri.

Mukadzi ange abudawo aenda kwaaenda haana kutaura. Akazodzoka ne grocery shoma shoma ndokutanga kubika ndokundiisira chikafu iye ndokudya chake ndokubuda oenda kundorukwa vhudzi asi haana kutaura chinhu. Ndaingoziva kuti ndiko kwaanoenda kana mwedzi wapera. Ndakazama kuvata naye munheru akangosimuka akaenda ndokuwadzira pasi mukicheni ndokuvata.

Svondo akanonoka kumuka ndokusagadzirira kuenda kuchechi. Ini ndakaenda ndega. Vekuchechi vaibvunza kuti aripi ndikati haasi kunzwa mushe saka asara kumba. Ivo voti saka wamusiya nani. Ndakapedzisira ndabuda kuchechi ndikaenda kumba. Manje vanhu vekuchechi kwedu vane tsika yokuti ukanzwika kuti unorwara, vanouya kumba kwako vokuimbir vokusukira ndiro vobika vobva voenda ivo havadyi zvavabika. Pandakazofunga kuti ndaudza vanhu kuti ari kurwara, ndakashaya kuti ndoita sei kuti vasauya kumba kwedu.

Masikati eSvondo, ndakaona Pastor vasvika nemai Pastor. Mukoma wanguwo haana kuita nguva, ndakaonawo asvika na maiguru. Sekuru hazvanzi yamai ndokusvikawo nambuya. Zvino ipapo hana yotanga kurova ndava kutya manje.

Zvikahi na Pastor vharai mukova nokuti patiri ku Boys Kaya pamusha wemunhu patinobhadhara RENT. Mukoma ndokuvhara mukova. Pastor ndokutanga kurondedzera kuti nyaya ndeyei. Hanzi
“Tauya kuti utitsanangurire kuti sei une musikana wauri kufambidzana naye. Zvakatanga riini uye chii chiri kuitika.”

Kusvika panguva iyoyo ndange ndisina kuona kuti pane suitcase yaiswa mukicheni. Boys kaya yedu ine imba yakati kurei inoti uku ndekwekugara uku ndekwekuvata muRoom imwe cheteyo asi iri hombe. Uko kumberi koita kicheni. Toilet ne Bath zviri panze, Unobuda wopota seri wondogeza ikoko.  Saka apa ini namukoma namaiguru tange tigere pamubhedha. Pasi na Mai Pasitor vakagara pacheya mbiri idzdzo dzatinadzo. Mukadzi wangu agree pedo namai Pastor achieredza misodzi ivo vakamubata sekuti mwana mudiki.

Ipapo maziso ese akanditarisa kuti nditsanangure kuti musikana wangu wandinofambidzana naye ndiani uye zvinofamba sei. Ini ipapo musikana handina saka handizivi kuti nyaya yavo iri papi. Kuti ndibvunze kuti zvabva nepi ndashaya kuti ndotangira papi. Ndakangotanga kudikitira nokutyiswa nenyaya kwayava uye kufunga kuti zvakatanga sei. Takapopotedzana nechinhu chisina nebasa rese kuti sei ndakapinda mumba nebhutsu dzemugadheni iye achangopedza kukorobha mumba.  Chete chete. Ndikapopoterwa ndikapopotawo iye ndokubva atotsamwa, hanzi haundioni semunhu akakosha muupenyu hwako. Unongoona sokuti ndiri munhu pasina. Zvino nhasi nyaya yava pakuti ndinemusikana.

Mukoma ndokubva vati “Taurai ka babamunini kuti girlfriend yenyu makatanga kudanana riini uye kuti Plan yenyu ndeyekuti chii namainini ava. “

Ndakavhura muromo kuti nditaure ndokunzwa kupererwa zvachose kuti munhu ane Degree rokuUniversity ari kubvunzwa nyya iyi anotsanangura achiti chii nokuti nyaya chaiyo hapana.
Ndakavatarisa vese umwe noumwe, apa mukadzi wangu ane makore 21, ini 25, zvoreva kuti ndini mukuru, iye ari kuchema ini ndiri pa shock kutaura zvonetsa.  Ndakatarisa Pastor  ndikati
“Pamusoroi Pastor.  Ini handisi kunzwisisa nyaya yamandibvunza. Handina munhu andingati musikana wangu. Mukadzi wangu uyu ndiye musikana wangu chete. Tava nemwedzi misere zvevasikana handichatombozvizivi kubva pandakadanana naye. Iye anozviziva.” 

Ndakazipedza iye ava kutowedzera kuchema. Mai mufundhisi ndokubudisa chipepa chavaiva nacho mubhegi mavo kwahi ndaenda nomukadzi wako kuSpecial Clinic akanotestwa kuti ane zvigwere zvipi.  Awanikwa kuti haana asi vati anofanira kudzoka kwapera mwedzi mitatu.  Ipapo ndipo pandakatoona kuti ange asina kurukwa musoro. Saka paye nezuro pandaiti ari kundorukwa aitoenda kuchipatara na mai Mufundhisi kundoitwa ma TEST.

Pastor vakati, “Mwanagu Peter, usatitambisira nguva uchidai, taura nyaya yako ibude pachena utiudze kuti mukadzi wako unomuda here kana kwete. Taura kuti atadzei kuti umusiye mumba uchinotsvaka mahure. Rega kutiita semapenzi. Uri kuona kuti mukoma wako nasekuru nambuya, vanhu vakuru vasimuka nokuda kwekukosha kwenyaya. Vauya kuzonzwisisa kuti zvaita sei. Ava Mai vako (kurva mai mufundhisi) vakaenda nomukadzi wako uyu Violet kuma test kuti tikasire kuziva kuti haana kupiwa zvirwere here. Zvino iwe unotoona sekuti inyaya isina maturo. “

Ndakati, “Pastor ini musikana handina. Mukadzi wangu uyu Violet chete chete.”

Ndisina kupedza kutaura ndakaona Mai Mufundhisi voburitsa rimwe bepa rine zvakapirintiwa ipapo. Mukoma ndokupiwa pape riya kuti verenge. Akaverenga zvese zvepaWhatsApp naTsitsi, nokuronga kuti tosanganepi uye riini. Mai mufundhisi ndokuburitsa Envelop ndokuma mukoma kuti avhure atiudze tese kuti munei. Wanike mune Condom. Mukoma akati

“Peter, taura kuti Tsitsi ndiani, Condom iri nderani uye mamwe aro aripi. Handina kumbokurova kubva wava nemakore 15 asi kana wakangamwa kuti unokwanisa kurihwa ndichakura nhasi pamberi paPastor naMai Pastor. Chii chauri kuita ichi chinonyadzisa kudai munhu ane mukadzi akanaka kudai? Taura nyaya yako.”

Ndikati, “Mukoma, rovai henyu kana muchida asi ini Musikana handina. Ndinowanepi nguva yekutsvaka musikana? Regai Violet ataure kuti nyaya chaiyo iri papi nokuti anoiziva. “

Mukoma ndokubva ati.” Mainini taurai kana muchiziva.”

Violet ndokubva atanga kurondedzera maonere ake. “ Ndakabva kuChurch ndikabika tikadya tese zvakanaka, asi kwange kuchipisa saka takanogara panze apo pamumvuri wemupichisi. Ndakaona Peter opinda mumba ochinja hembhe dzake zvese nebhutsu dzake dzemugadheni. Ndokutora hozi paipi otana kudiridza muriwo wedu uri seri kemba uko.

Ipapo ini ndakatangakukorobha mumba ndokuti pandakapedza iye ndokupinda mumba nebhutsu dzake dzine madhaka. Ndakamuti hausi kuona here kuti ndakorobha mumba, Wadii kusiya bhutsu panze. Iye ndokubva andiseka ndokupinda kwese kwese kuzadza madhaka mumba. Ndokubva abuda ndokuenda kunodiridza futi. Paakadzoka ndange ndakorobha madhaka ese, iye ndokupinda futi nebhutsu dzake dzine madhaka.  Ndakamuti PLEASE siya bhutsu panze, ndokubva andituka kuti ndinofoya, handinzwisisi maabasa epamba, uye kuti handizvari, sei ndisina kuita nhumbu gore rese rava kutoda kupera. Hapana chandinogona. Zvaive nani dai ndisina kumboroorana naye. Kubva ipapo haana kumbotaudzana neni.

Asi ini ndakanyarara ndikaramba ndichiita mabasa angu emumba sezvamunotidzidzisa mhamha kuti itai utsanana mumba. Ndinobika, ndinowacha, ndinoaina. Mukuwacha ndakasangana nemacondom muhomwe yemurume wangu. Isu hatishandisi makondhomu. Musi we Friday akasiya foni yake achinogeza abva kubasa, ini ndakaitarisa ndanzwa Message ichipinda ndokuona kuti yabva kuna Tsitsi uye iri kutaura zvekusangana kuPark mangwana. Saka ndakazoverenga zvese ndokubva nakuisirai pa Forward mhamha.

Izvozvi  ari kupopota kuti sei ndisina kubata nhumbu asi vhiki mbiri dzese anondidzinga kumubhedha kana tava kunorara. Ndava nevhiki mbiri ndichirara mukicheni. Pamakazofona muchibvunza kuti chii chandiri kukutumirai, ndange ndatofunga kupti pamwe ndine zvirwere zviri kunditadzisa kubata nhumbu.  Imi mukati tiende kuchipatara.”

MaiChibwe, Ini muchato chaiwo handichina asi kuhura handina kuhura. Ndakagariswa dare iri musi wa  25 March.  Kubva ipapo ndakatadza kutsanangura nyaya yangu yese. Hapana anobvuma kuti ndiri kutaura chokwadi.  Hakuna munhu anonzi Tsitsi. Shamwari yangu anova akandipa Idea yacho akambozamawo kutsanangura kuti ndiye akakonzera asi hapana anoterera.  Ndoitawo sei  Please?

(Ndatapudza mavara echirungu ange akawandisa)





Tuesday, 5 June 2018

Ukapoya ukabata siki unouya sei kumba.

Kuuya kumba une siki. Ukaziva kuti wabatiswa siki nechikomba/hure unoita sei kuti umwe wako asabata siki? Vashomanana vanobudirana pachena, nengari yokutya kufumugwa kana kutorambwa, saka pane maitire here okuti usapa umwe wako siki. Mazuvano siki dzimwe dzavako hadzirapiki saka unenge usingazivi kuti siki yawabata ndeipi, ipapo haudi kuti umwe wako azive kuti une siki.

Mukore uno ukaterera nyaya dzinobva mudzimba unohwisisa kuti kuhurirana kwawanda chose kupfuura kare. Kare zvaityisa kuhwa kuti nhingi akabatwa achihura. Mazuvano vese vakadzi nevarume vanohura, chero kumamisha chaiko vanhu vanogariswa dare naSabhuku nenyaya dzokuhurirana mudzimba uye kuhura nevarume/vakadzi vevanhu.  Zvinotozikamwa kuti mai Nhingi murume akaenda netsuro akavapa, anovhurigwa makumbo. Baba nhingi vanozviziva asi hapana zvavanoita. Vanongobikigwa sadza votodya netsuro iya votofarawo kuti nhasi tagwangura zvinofadza. Zvokuzoti mukadzi abuda akandotenda muvimi havana basa nazvo.

Asi pano tiri kutarisa nyaya yokuti une mukadzi/murume asingadi kuti umuhurire. Iwe nomusikahwa wako wobuda mumba wondohura, wobata siki. Tiri kubvunza kuti unoita sei kuti nyaya mumba ipfuure zvisina kuwedzera dzimwe nyaya dzakaita sokuti unopa murume/mukadzi siki?

"Murume weshamwari yangu akawana basa kuZimbabwe iv vachigara kuUK. ndokusiya mukadzi achishanda ku UK, iye ndokuenda kuZimbabwe kunoshanda. Vana vaviri ndokusara noukadzi ku UK. Kwahi chimbosara makore maviri ndofanoenda, ndonovakisa imba, iwe nevana mongozosvikopinda. Akasvika kuZimbabwe ndokushanda, ndokusangana noumwe mukadzi aihurawo nevamwe varume atiri ne HIV nechekare. Ndokubata HIV iya. Akaziva kuti ava ne HIV ndokuzama kuti mukadzi asauya kumusha. Uku mukadzi paakahwa vanhu voti murume wako ari kugara neumwe mukadzi, akakwira ndege nevana ndokuenda kumurume wanei pane nyaya. Akazobata kuti murume ari pamapiritsi murume aramba zvachose kuvata naye asi asingatauri kuti ingari yei. 

Kubva muna 2014 kusvika pari zvino murume akaramba zvachose kuvata nomukadzi wake. Kwahi chero kushandisa makondhomu handidi. Kwahi hatingaiti HIV tese. Vana nanoshaya anorera kana tikafa. Saka murume kana oda zvokuvata nomukadzi anoenda kuhure rakamupa HIV. Kana mukadzi odawo zvokuvata nomurume haana kwekuenda. Vakuru vemhuri vakauya vakazama kutonga nyaya asi murume akati ini mukadzi ndinomuda saka handidi kumupa zvigwere. Kana asingadi kugara ngaaende. Kana achidi kunditi ini ndiende ngaataure ndiende asi kuvata naye hazvichaiti. "

Iyi nyaya yange iri yechigwere chisingarapiki. Ko kana ukabata chigwere chinorapika ungaita sei. kuti usapa umwe wako. Ngatihwisise kuti kana watanga kuhura, kazhinji unowedzera kuisana kumba kuti umwe wako asafungira kuti pane zvausiri kuwana.

Hezvinoi zvinoitwa nevamwe kana vabata siki:

1 Ukavata nehure/chikomba ukabata siki, wouya nesiki kumba, wovata nomurume/mukadzi wako womupasi siki, wobva wakasira kupomera mukadzi/murume wako mhosva yokuunza siki mumba, kuti pashaye anokufungira.

2 Ukavata nehure/chikomba ukabata siki, woenda kuchipatara worapiwa pachivande. Uku wotsvaka mazano okuenda kundovhakasha kushamwari kana hama uchimwa mushonga, wodzoka wapora, usisakwanisi kupa umwe wako siki.

3 Ukavata nehure/chikomba ukabata siki, woenda kuchipatara worapiwa pachivande. Uku kurwara uri kumba kuti umwe wako asada kuvata newe kusvika warapwa ukapora. Zvoreva kuti kubasa unorovha mazuva iwayo.

Kana tichitarisa nyaya idzi dzese tinohwisisa kuti munhu anokwanisa kubuda mumba agovata nehure/chikomba asina kondhomu, haasi munhu aungafungira kuti anoita hanya nokusakupa siki. Saka mhomho yevanohurira vamwe vavo vachibata siki, vari muboka rokutanga iro. Zvoreva kuti nyaya yatinayo pano ine vashomanana vanota abata siki ofunga mazano okuti umwe wake asaibatawo kubva kwaari. Ndipo patiri kubvunza kuti unozvifambisa sei.

Unoudza umwe wako kuti wahura ukabata siki here kana kuti unogadzirisa nyaya pachivande?



Tiudzeiwo kuti zvingaitwa sei?


Mazano ekurumura mwana

Tichada kumbotaura nezvokurumura mwana. Kana ukasanatsa kuhwisisa nyaya iyi mese mai nomwana munoshushikana chose panguva yokurumura. Saka ndichambotaura nezvazvo kuti tione zvatingahwisisa.

Wednesday, 30 May 2018

Kutora mukadzi/murume wemwana wamai vako

Kune vakawanda chose vanogara nemukadzi/murume wemununguna kana mukoma vachitovata vese pamwe kutoita vana vese asi mwana wamai ari mupenyu.. Zvinobvumidzwa here kutora murume/mukadzi wemwana wamai vako iye ari mupenyu.

Maita anotsanangura nyaya yake yekuti akawanikwa muna 1998, ndokugara nomurume wake muHarare vese vachishanda.  Vakaita vana vaviri vakomana vese. ndokubva nyaya dzemari dzatanga kuvanetsa.  Hazvanzi ya Maita anga achipota achivabatsira panyaya dzemari, akashaika ivo ndokusara vangoti vavava.  Gore iroro 2002 ndokubva vabvumirana kuti Maita azame kutsvaka basa kuUK. Akakwanisa kupinda kuUK achhiti anonovhakashira hama, ndokutadza kudzokera.

Paakawana basa mu UK aipota achitumira mari kumurume kuti arere vana. Murumewo akazama kurera vana nokushanda asi zvakamukona kusvika vabvumirana kuti mununguna wa Maita aendeko andorera vana babamukuru vawane kushanda zvakanaka.  Gore rino 2018. Mainini vaya vane vana vaviri nomurume wa Maita. Iye Maita achiri muUK maari kungoshanda achitumira mari kumusha. Akambozama kuti murume auyewo nevana paakapiwa mapepa, asi murume akaramba.

Ari kubvunza kuti zvoitwa sei nokuti ava kuda kudzokera kumusha. Anonogara sei nemhuri yake pamusha umwe chete? Ku ivo mainini vachazvitora sei nokuti makore ese 16 vange vari vega nomurume. Pavasikana vaviri apa hapana ane EXPERIENCE yebarika.

Munopaonawo sei?

Kinos akasiya mukadzi nemwana pamusha waange atanga kuvaka, ndokutevera muzukuru wake kuCape Town kundotsvaka mari yokupedzisa imba. Akasvikowana basa ikoko ndokuchitanga kutumira mari mukadzi achivaka musha nokutenga mombe. Mukadzi aiti akakumbira kuenda ku Cape Town, murume oti bodo, hapana pokugara nemwana.  Murume ndiye aipota achiuya kumusha.

Izvozvi vane vana vatatu asi vanoziva vanoti vana vaviri ndevemununguna wemurume nokuti aiti kana mukoma asipo anopota achivata namaiguru. Kana maiguru vaita mimba, voudza murume kuti akasire kuuya kumusha kuti vagovata naye kuti kana odzokera vosara vachitaura kuti vane mimba.

Kinos ari kuti obvunza mwana wamai vake here kana kuti kwete?

Munozvionawo sei?

Myaya dzekushaikwa kwemari munyika yedu dzakakonzera vakawanda kupatsana nemhuri dzavo vachienda kure kundotsvaka mari yokurera mhuri. Asi vamwe hazvina kuvafambira zvakanaka.  Kana wakatoregwa mukadzi/murume, nemwana wamai vako, unozvigamuchira sei?  Ko vana vakazozvagwapo unovagamuchira sei? Ko iyewo mwana wamai vako unomugamuchira sei? Iye anokugamuchira sei? Murume/mukadzi ndewani pakupera kwenyaya?

Kana wakasanganawo nazvo muupenyu hwako, tipakurirewo mafungire ako pakuzviona.

Friday, 18 May 2018

Kuudza umwe wako kana usingaguti

Kana usingaguti pakuvatana, unotsanangurira umwe wako sei kuti muhwisisane? 

Vamwe vari kuti zvinonetsa kuudza umwe wako kana usingaguti. Inyaya inonetsa kutsanangura asi regai tigombozama tichibatsirana kuti vamwe vedu vaendewo mberi. Kumunhukadzi zvinonetsa chose kuudza murume wako kuti haasi kukugutsa. Inyaya yokuti pachivanhu pedu munhukadzi ainzi anomirira kuiswa nomurume kwete kuti iye aonekwe kuti anofarira kuiswa. Zvaingova zvokuti munhu ari pamusha kufadza murume wake sake zvange zvakakosha kuti murume afare kwete kuti mukadzi afare. Vasikana vairaigwa natete pamaitire ekufadza murume pakuvatana. Asi varume vange vasina anoraira kuti mukadzi anofadzwa sei. Zvange zvisingaakosheswi kuti mukadzi anofanira kufadzwa pakuvatana.

Varume vaizovawo nomutemo wekuti kana mukadzi asina mufaro pakuvatana zvachose, aikwanisa kundoudza tete vemurume, (hazvanzi yababa vemurume) kuti mwana wenyu haasi kundibata zvakanaka. Tete vaya ndivo vaizokwanisa kundokumbira hazvanzi yavo yechidiki, kwete baba vemukomana, kana muzukuru wemukomana, (mwana waivo tete vacho) ava munhu mukuru uye ane mukadzi. Umwe wavaviri ava aitumwa kuti andoraira mukomana uya kuti mukadzi anoitwa sei naye pakuvatana. Asi zvange zvisiri zvokuti afadze mukadzi. Nyaya dzaiwanzosvika kwatete dzaive nyaya dzokuti mukomana haasi kutomboisana nomukadzi wake zvachose nokuda kwekusaziva kuti kana varoorana mukadzi nomurume vaifanira kuisana. Mukadzi aisvika ari mhandara obva apedza nguva refu achingori mhandara mukomana asina chaanoziva. Ndipo paizoti babamunini kana kuti muzukuru wemurume aizoraira murume kuti chii chaanofanira kuita. Zvokuzoti kunakigwa kwemukadzi izvo hazvina aive nebasa nazvo.

Zvino mazuvano takazojekesegwawo pamagarire evanhu kuti kuisana ndekwavaviri saka mese mofanira kunakigwa pazviri. Vanhu vechidiki vava kuziva kuti vanofanira kuisana kana varoorana. Changosara kuti todii kana umwe achifunga kuti hazvinaki. Totizve, kuvanhukadzi zvichiri kunetsa kuudza murume kuti hausi kundikwira zvinonaka, zvoita sokuti wamhura murume kusvika pokupedzisira. Saka tichiona vakawanda vachinyora vachibvunza kuti ndodii nokuti murume haasi kugona kundigutsa pakuvatana.

Koitazve kuti ivo vakadziwo havachina acharaira kuti murume anobatwa sei saka anongosvika pamurume asina zvakewo zvaakadzidziswa kuita. Vakawanda vobva vafunga kuti murume ndiye achaziva zvokuita kuti tese tinakigwe. Ndiko kuipa kwenyaya kune vamwe vedu.
Saka chokutanga ngationgorore kuti kuhi haunaki unenge uri munhu akaita sei. Vanhu takasiyana zvinotinakura uye zvinobva pamakurre atakaita kubva tiri vadiki, uye kuti nyaya dzataihwa kubva kune vati kurei kutipfuura dzaiva dzipi.  Ukakura uchihwa vamwe vese vachikuudza kuti mukadzi anofanira kuiswa akafongora, unoona sokuti vese vanoisana vanoisana nemaitire iwawo. Kana wava nomurume akataridza kuti zvokufongoregwa haazvidi unoona sokuti haagoni basa.
Hezvinoi zvinotadzisa vakawanda kunakugwa.

Varume:
1 Murume asina rudo haanaki zvisinei kuti ane chii chimwe chaanoita pakuisana. Haanaki nokuti vanhukadzi vanofarira kuziva kuti ndiri kuiswa murudo, kwete kungoiswa zvisina chimwe mukati.

2 Murume anongozoda kuisana tonovata kazhinji haanaki. Murume anofanira kuita tsika yokugarobatabata mukadzi wake, kumuudza zvinofadza, kuseka naye, kumuyemura muviri wake sokuti chiso chake, mazamu, magaro, kana kuti mafambire ake. Moita nyaya muchitaudzana muchifara sevanhu vanozivana.

3 Murume asingahwisisi kuti mukadzi anopiwa mukana wekunyorova, murume asinganaki. Mukadzi anoda kurezviwa kwenguva refu kuti anyorove musati maisana. Kuti unorezva mukadzi wako sei zvinobva paari iye mukadzi kuti anofarira chii. Asi vakawanda vanoda kukisana, kuswetwa minyatso, kuswetwa zheve, kuswetwa guvhu, kupurudzigwa magaro, mazamu, zvidya, matinji, bhinzi, uye kuseri kwemabvi, kugumbatigwa, kupiwa chombo kuti apurudzire chakamira achihwisisa kuti chamirira iye, kupinzwa chigumwe muchitubu.

4 Murume anokasira kutunda haanaki. Hazvikwanisiki kuti ukasire ugonaka. Hazviiti. Vakadzi vakawanda vanokomburena nokusanaka kwemurume zvinobva pakuti anokasira.

5 Murume anoterera mukadzi nokupa mukadzi mukana wekufunga nokupanana mazano emusha naye murume anokwanisa kuva anonaka.

6 Murume anotaridza kusununguka panyaya dzokuisana, kana ane mukadzi wake, murume anonaka. Murume anofarira kuona zvese zviri pamukadzi wake, anofarira kubvunza kuti mukadzi ari kuhwa sei pakuisana, anoudza mukadzi zvokuita (instruction) muchiisana, murume anonaka. Murume anosiyanisa maitire zuva nezuva ndiye anonaka.

7 Murume anonyima kana kushotesa mukadzi haanaki. Vakadzi vakawanda vanotangira pakuti zuva rumwe nerimwe kana kuti kaviri pazuva. Kana azova munhu ati kurei sokuti makore anopfuura 30 anoderedza kuti kangani pavhiki asi pese paanoiswa anoda nguva refu. Kumushotesa handizvo. Kana wahi uya tisane chiitawo nguva muchiisana.

Vakadzi:
1 Mukadzi ngaave munhu anohwisisa kuti murume anoda munhu anofarira kuiswa. Kana usina kuiswa ratidza kushungurudzika pazviri. Kana waiswa ratidza kufara pazviri.

2 Mukadzi munhu anogaropa murume CONFIDENCE yokuti anogona kuisa. Kana muchitamba makamirira kuisana,rezva chombo chomurume. Unokwanisa kuchipurudzira, kuchitambisa, kuchisweta, kuudza murume kuti nhasi chakanaka uye chakamira zvakagwinya, kuudza murume kuti saizi yechombo chake inogutsa. 

 3 Kana murume achikubata bata muviri pota uchiita kuvhundukira kana abata panonaka. Tora ruoko gwake udzosere paunoda kuti awedzere kubata. Kana muchikisana ratidza kuda kuti muwedzere kukisana. Zvipe kumurume wako. Kweva musoro wake umuisa pazamu amwe mukaka ruoko gwake guri pabhinzi yako.

4 Kana wahwa kuti wanyorova udza murume kuti akupinze chombo. Usamirira kuti iye abvunze kuti ndopinza here. Pakunopinza iwe bata chombo ichinangise pachinopinda kuti apinze zviri nyore. Apinda rega muviri wako unakigwe nokuiswa. Unohwa kufemereka. Unohwa kuda kukoigwa zvine simba rechombo. Batirira murume, Chemerera murume wako kana muri mega. Wana mukana wekuti murume ahwe kuti chombo chese chapinda mumukadzi wake. Chitanga kushandisa chiuno kuratidza kuti uri munhu mupenyu kwete akafa.  

5 Pota uchiudza murume kuti ambomira unatsekuhwa chombo chiri mukati. Makapindana kudaro unotohwa chombo chichiti gwii, gwii, gwii chiri mukati. Pota uchivhundukira kureva kuti uri kuzvihwa zvachiri kuita.

Kana pane mukana, zvikwize mbizi murume ari mukati mako achikukoira iwewo uchigamuchira nechiuno. Kukwiza bhinzi kuitira kuti ukasire kutunda murume asati. Zvinofadza varume chose kuziva kuti atundisa mukadzi wake, chero kaviri pamwedzi zvinofadza. Kana watunda chiudza murume akukoire kusvika aguta.

6 Kana wapihwa urume, uchahwa hwovhinza, udza murume kuti akuzadza urume uye tenda murume nazvo. Zvinopa murume manyawi. Kuchemerera kunopa murume manyawi. Kubatirira kunopa murume manyawi uye zvese zvinoratidza kuti iwe unofarira kuiswa.

7 Mukadzi anonyoma mukadzi asina mukana wekunakira murume wake. Kunyima kunoitwa nevanhu vasina njere zvachose nokuti vanozvitsvakira dambudziko pamusha, uye unokwanisa kuzohurigwa wopedzisira wava nezvigwere.

Kunaka kwemunhukadzi kunobva pamaonere ake pakuiswa kwake.

Ungaudza umwe wako sei kuti haasi kukugutsa.
1 Vamwe vanongoti Zii zvogara zvakadaro. Mumoyo anenge asina mufaro asi kuti ataure kuti chii chakaipa, hazvibudi. Ndivo vanhu vaunoona kuti mukadzi anonyebera kuti atunda iye asina. Murumewo haana hanya nomukadzi. Pakuvatana zvongoitwa zvechirango. Kana murume atunda anongosuduruka ofuratira mukadzi ototanga kuridza magwiriri. Pavaviri ava zviri nani vazviite nemaoko vakati uyu kwake uyu kwake.

2 Vamwewo vanoita zvokupopota kana kuratidza kutsamwa asi uya nyakutsamwigwa asingatozivi kuti chii chakanganisika. Kana ukaona munhu achingoti kana ane nyaya yaasingafari nayo opopota, hwisisa kuti COMMUNICATION SKILL yake iri pasipasi. Munhu anotodawo rubatsiro. Kana iwe uri murume/mukadzi wake, mudzidzise kuti kana ane zvaanoda kukuudza ngaataure akasununguka. Kana akuudza iwewo chirega kutsamwiswa nazvo. Chiratidza kufara kuti akwanisa kukudza uye kuti anoda zvigadziriswe.  Chirongai mazano okugadzirisa.

3 Vamwe vanonoudza shamwari kuti murume/mukadzi haasi kugona basa. Kunge wakaroorana nomunhu akadai zvoreva kuti uri munhamo chaiyo. Kuudza vamwe vanhu zvinhu zvemumba zviri CONFIDENTIAL kureva kuti hauhwisisi kuti une musha. Munhu wawakaroorana naye akaziva kuti wakaudza vamwe vanhu iye asingazivi, haachakuudzi zvimwe zvinhu futi. Watovhara fungwa dzake pauri. Hazvishandi.

4 Vamwe vanotaura kuti chii chakanganisika mumba asi voita sokuwedzera kukoshesa nyaya kusvika pakuti uya nyakuudzwa anoona sokuti ndiyo nyaya chete mumusha inoda kugadziriswa. Tinoziva hedu kuti kuisana kwakakosha asi  zviri nani kuti paunoudza umwe wako umuudze murudo kuti asavhunduswa nazvo. Zvikuru kana mange muri mese nguva refu ngazvisaita sokuti panguva yese iyi wange usingaguti. Zviri nani kuti Shamwari dai tambozama izvi kana izvo pane kuti zvauri kuita hazvigutsi. Iwewo kana waudzwa kuti ngatizame izvi, chirega kubvunza kuti wakazvidzidziswa nani izvozvo. Tevedzera nomoyo wese kana zvichinaka muchigaro ita.

5 Vamwewo vanoti akaudzwa chinhu chisiri kufamba zvakanaka otsamwa. Bodozve. Kuti akuudze aita nguva refu achifunga kuti okuudza sei. Iwe mbundikira murume/mukadzi wako womuudza kuti aita zvakanaka kukuudza. Wotomutukirira kuti sei asina kukasira kukuudza. Chimubvunza kuti todii. Pane zvatingaita here kuti tisimuke patiri tiende mberi. Uchaona kuti anofara nazvo. Mogara pasi mobvunza zvokuita moronga mese pamwe chete. Kana wahwisisa zvaunofanira kuita chitaridza kuti unoda kuenderera mberi zvakanaka nokufadzana mumba. 

Nyaya dzese mumba dzinoda kuudza umwe wako murudo. Iyewo kugamuchira zvaaudzwa murudo. mogara pasi motsanangurirana nokubvunzana kusvika mese mahwisisa uye mawana zhira yokugadzirisa nyaya. 


Pakuroorana:
Kana maroorana, kasirai kuwana mukana wekuva pedo nemoyo weumwe wako nguva dzese. Dzidzazve kutaudzana naye panyaye dzese dzemumba pamwe chete nedzokisana. Uchaona kuti mese munogara makasununguka pakuudzana zvinonaka nezvisinganaki.

Ukaita tsika yokubvunza umwe wako kuti ahwa sei pamaisana, kana kumirira mangwana wobvunza kuti zvaiva sei madeko. Iye okuudza. Usabvunza muri muBEDROOM. Bvunza muri patafura muchidya zvokudya. Kana uriwe wabvunza, ita tsika yokutaura chokwadi kuti umwe wako anatse kuhwisisa.  Unokwanisa kuti

“Madeko zvainaka asi zvaikwanisa kuwedzera kunaka dai wakaramba uchindikwesha. Wakangoti kasirei zvishoma pakutunda. Zvainaka zvokuti kana usiku hwese ndaida tisane. “
Uchaona kuti pamunoisanazve anozama kukunonokera. Zvadaro iwe mukurudzire futi kusvika ava kukwanisa.
Kana mukadzi asingafariri zvechikapa, muudze zvinyoronyoro kuti kana achishandisa chiuno zvinonaka sei. Musi waashandisa chiuno, enda umutengere chimwe chinhu womuudza kuti nokuti akakunakira madeko nemashandisire aaiita chiuno. Hazvisi zvokutsoropodza asi kukurudzira murudo.

Nyaya inonetsa ndeyokuti kana wange wajaira mamwe maitire aunoziva kuti haakugutsi asi usina mukana wekuudza umwe wako kuti hauguti. Kuti ungozoti pese apa ndange ndisingaguti zvoratidza kuti uri munhu asina kuvimbika. Saka wana mukana wekumuudza zviri SOFT, uye womuudza kuti zvaimbonaka asi nokuda kwekungogarozviita hazvichanatsi kunaka. Pananai mukana wekutaura. 

Kana murume wako ari mukuru chose pamakore zvinonetsa kumuudza kuti hazvisi kunatsonaka. Asi kana uchikwanisa chibhende kuti aone kuti pane chiri kushota ita chibhende. Hazvina kunaka kuti usiye nyaya yakadaro. Varume vakuru chose pavakadzi kazhinji vanhu vanoda kufadi vakadzi vavo vechidiki. Kana mukadzi wako ari mukuru pauri kazhinji uchaona kuti anogaroda kuhwisisa kuti unogutswa naye. Taura zvaunoda kuti aite. 



Ngatihwisise kuti kuudzana kunonetsa chose nokuti vanhu vakawanda vanongoisana mudzimba umu pasina zvokutaurina. Inongori nyaya yokuti moisana zvopera zvakadaro kana zvakugutsa waguta. Kana zvisina kukugutsa hauna kuguta womirira mangwana. Asi zviri nani kuti mese mukwanise kutaurirana kuti mugare muchifara pamagarire enyu. Nyaya yokunakirana inyaya huru asi inyaya inonetsa kunatsa kutaudzana pairi.  Unozohwa zvobuda pakutukana. 



Saturday, 5 May 2018

Kuti munhu ave ngochani-chii?

Vakawanda vari kubvunza zvingava zvinoitisa kuti kumnhu ave ngochani uye kuti zvinorapika here?

Ndichazama kutsanangura maonere anoita vakadzidza nyaya iyi kuti isu tiwanewo kuihwisisa seruzivo guriko mazuvano pazviri.

__________________________________________________________________
Ngatichitanga nokutarisa zvikonzero zvinofungigwa: 

1 Maitire edumbu ramai.
Kana ma Scientist vachiongorora nyaya yechingochani, vanoona sokuti ngochanirume zhinji  vanu vane madzikoma akawanda, sokuti kupfuura vana (four). Izvi zvaonekwa pakatariswa nevanoita RESEARCH ndokuona kuti kana munhukadzi akaita mimba yomwanakomana, muviri wake unoita nguva yaunoona ma GENE anoitisa kuti mwana ave mukomana anohi pachirungu Y-CHROMOSOME, anoonekwa sokuti chigwere. Muviri wemunhu ukabata chigwere unozama kuchirapa wega. Unogadzira mushonga wekuzama kurapa.  (IMMUNE RESPONSE) Saka ndizvo zvinoitika kana mukadzi ane mimba yomwanakomana.  Panozvagwa mwana , mai vanosara vane mushonga uyu mumuviri. Vakabata imwe mimba yomukomana futi, votangira paya pavakasiira vowedzera kuita IMMUNE RESPONSE iyoyo futi. Pakuzosvika kumwanakomana wechina kana weshanu, Mushonga uya wawandisa mumuviri zvokuti unokanganisa kuvakwa kwemwana owandisa ma HORMONE asiriwo.
Pakuzokra kwake anokwanisa kuita ngochani.
Nyaya iyi kwahi yakanetsa maSCINTIST akawanda nokuti  vakaona zvichikwanisika kuti vakomana vaviri vanozvagwa vari mapatya, umwe unokwanisa kuita ngochani umwe asiri asi vese vanga vari mudumbu rimwe chete nguva imwe chete, zvichireva kuti mai vavo vanga vane IMMUNE RESPONSE yakafana. Zvaireva kuti mapatya ese anofanira kuita ngochani kana kusaita ngonchani vese, kwete kusiyana.
 
2 Kuzvisarudzira wakura
Vamwezve voti bodo, munhu wega anongozvisarudzira kuva ngochani kana kusava ngochani. Mafungire awa anonetsa nokuti kana chiri chokwadi zvoreva kuti isu tese takazvisarudzirawo kusava ngochani. Ini sokuziva kwangu hakuna musi wandakambiswerofunga kuti ndoita here kana kurega kuita ngochani. Ndakangokura ndiri munhu anongodawo vakomana kubva pakubva zera.  Hazviiti zvokufungwa kuti Ndodii. Saka kana tikati vanozvisarudzira, tofanirazve kuzoti chikonzero chii kuti munhu azvisarudzire kuva ngochani. Zvotaridza kuti hapana chatagona kududzira.

3 Vamwe voti kuregeredzwa:
Kune vanofunga kuti kuita zvisina mature nokuda kwekuregeredzwa. Kana ukada kuzviita, ukarangwa unokasira kuzvisiya woita munhu kwaye. Awa mafungire anonetsa kuhwisisa nokuti  hazvisi nyore kuti urege vanhu vemuraini vachiziva kuti uri ngochani. Saka kuti tizoti kuregeredzwa zvinenge zvabva papi. Ndiani anokuregeredza nokuti vemhuri vanotovhunduka kana vakahwa kuti uri ngochani.

4  Kutya vanhukadzi /Kutya chombo
Kune varume vakawandisa vanotya vanhukadzi zvokuti haatokwanisi kunyenga musikana. Koitazve vasikana vakawanda vanotya mufungo wekupinzwa chombo zvokuti haatokwanisi kuita nyaya dzakadaro nevakomana. Asi tinoona kuti mukuwanda kwavo vanhu vakadai mhomho yese yavo havasi ngochani. Vashomanana pavari ndidzo ngochani. Zvoreva sokuti kutya uku hakukonzeri munhu kuita ngochani. Dai kwaikonzera vese vanotya vaidai vari ngochani.

5 Vamwezve voti chigwere chefungwa:
Kuva chigwere ndizvo hazvo asi tofanira kunatsoti svikei pachigwere chacho kuti chinotangira papi uye nengari yei. Hakuna chigwere chingaita nyika dzese seizvi, pasina anonyatsoziva kuti chakabvepi. Tinoziva kuti munyika dzese mune vanhu ngochanirume nengochanikadzi. Chigwre ichocho vakachibatepi vese ava. Vamwe vavo vanogara kure chose nevamwe ngochani, saka vakasanganepi kwavakapanana chigwere ichi?  Kuti titi chigwere hazvitsananguriki.

6 Vamwe voti kutadza kukura fungwa.
Kune inohi pachirungu ARRESTED STATE. Kureva kuti wasvika pane chimwe chinhanho wobva watadza kupfuura. Zvinohi tarisai vana vadiki muone kuti vasikana vanoda kutamba nevamwe vasikana,. Vakomanawo chitamba vevamwe vakomana.  Asi voruzhinji kana vazoti kurei kumakore 15 uko vasikana voda kutamba nevakomana, vakomanawo vachida kutamba nevasikana. Zvino ndipo panofungigwa kuti fungwa dzengochani dzinonge dzasungigwa pamakore asingapfuuri 8 kureva kuti anongoda kutamba nevakafanana naye asi ava munhu mukuru. Anoita rudo sezvinoita vamwe asi vaari kuda vacho ndevake. Otadza kubuda pazviri. Ongogara ari ngochani.

7 Vamwewo voti kuda kuoneregwa (Attension seeking. )
Vanoti ngochani munhu uya anongoda kuti vanhu vamuonerere zvisinei kuti ari kuita chinhu chakanaka here kana kwete. Tese tinoziva munhu wemuraini anongoda kuti vamwe vataure nezvake. Kana akashaya chokuti vataure anoita chinhu chisina mature kuti vataure. Saka apa anozviita ngochani kuti vanhu vawane chokutaura pamusoro pake.  Hamenoo kuti munozviona sei asi variko vanhu vanoita zvisingaitwi nevamwe, kungoti vahi nhingi akati akazoti ndokuzoti.

8  Kureriwa kwemwana:
Vamwe voti zvinoitiswa nokurera mwanakomana mumusha usina vanhurume kana kuti mwanasikana mumusha usina vanhukadzi. Voti ivo wakareriwa zvisirizvo vakakurera vakakuitisa mabasa anoitwa nevasikana iwe uri mukomana kana kuti mabasa evakomana iwe uri musikana saka wakakanganisika fungwa hauchahwisisi kuti uri mukomana here kana kuti musikana.  Ndipo mukomana anoda kunyengwa nevamwe vakomana. Musikanawo achida kunyenga vamwe vasikana.  Mafungire awa anonetsa kuhwisisa nokuti kune ngochanirume dzinoda kunyenga vakomana. Kunyenga ndekwevakomana saka apa ari kuita zvinodiwa kuitwa nevakomana. Koitazve ngochanikadzi dzinoda kunyengwa sezvinongoita vasikana asi kungoti anoda kunyengwa nevamwe vasikana.  Zvreva kuti mafungire awa haashandi sechikonzero chokuitisa munhu ngochani.

9 Vamwezve voti Kubatwa chibharo uri mwanana :
Variko vakawanda vanotaura kuti aimbobatwa chibharo ari mwanana (mukomana) ndokuzokura ndokuita ngochani asizve variko vakomana vaibatwa chibharo chose asi pakuzokura ndokusamboita ngochani. Saka siyano inenge iri papi ipapo? Tingazoti mabatigwe aaaiitwa chibharo chacho here kana kuti chibharo hachinei nokuti uite ngochani?  Variko vasikana vaigarobatwa chibharo vari vanana vakazokura ndokuvenga vanhurume chose zvokuti vanongodanana nevamwe vanhukadzi. Asi varikozve vakawandisa vanobatwa chibharo vari vanana asi vozotadza kuita ngochanikadzi.  Saka maonere awa anoita sokuti hazvisirizvo zvinokonzera ungochani .

10 Mafirimu epono
Vamwe voti kana mwana akatanga kuona pono akatanga nokusangana ne varume vachiisana pachavo kana kuti vakadzi vachiisana pachavo, akaita nguva achingoona pono dzakadai pasina zvimwewo zvinotaridza varume nevakadzi, zvinokwanisa kuitisa mwana ngochani kana azoti kurei. Vanoti EXPERIENCE yemunhu pane rimwe zera inokwanisa kukonzera kuti fungwa irerekere kuhungochani.
__________________________________________

Izvi ndizvo zvimwe zvezvikonzero zvinofungigwa kuti zvinoitisa ungochani. Asizve totarisa tinoona kuti kungochanirume kune zvimwe zvomuviri zvinowanikwa pangochanirume zvakaita seizvi?

Ngochanirume pamberi pavo vanhu vane mabhora akakura kupfuura varume vanongoda akadzi chete. Kana kuchitariswa AVERAGE yekukura kwemabhora avo zvinoonekwa kuti iri mberi.

Ngochanirume kukura kwechombo AVERAGE yacho iri mberi kupfuura varume vanongoda vakadzi chete.
Hapana anonatsohwisisa kuti zvinoitiswa nei uye sei vamwe varume vane zvombo zvikuru chose vasiri ngochani?

Zvinozikamwazve kuti ngochanirume dzinehununzvatunzva zvokuti kugara nomunhu umwe chete zvinovanetsa. Vanoda kuti akavata nouyi, ovatazve nouyo. Asi kana vakaroorana varume vese, vanochengetana kupfuura murume nomukadzi vakaroorana. Zvino varume vanoroora vakadzi kuhura kwavo kwakawanda chose asi vachihura nevamwe vakadzi. Zvinoita sokuti varume vanoita 33% yevarume vanoda vakadzi, vanohura chose. Mukutariswa zvinoonekwa kuti mabhora avo akati kurei kupfuura evarume vasingahuri kana varoora, 67%.  saka zvese varume vanofarira kuhura, nengochanirume, vane mabhora makuru pamberi. Kana uri munhukadzi ukanyengwa nomurume, ukahwisisa kuti ane mabhora makuru, chenjerera nokuti anokwanisa kukasira kukuhurira noumwe mukadzi kana kuti noumwe murume. 

Varume vanoroora vakadzi kazhinji havadi vakadzi vavo sekudanana kunoita varume vaviri vakaroorana kana vakadzi vaviri vakaroorana. Inyaya inotonetsa kuhwisisa. 
_______________________________________

Chikuru pano ndechokuti ukaziva kuti mwana wako ingochani unoita sei? Vanhu ngochani vakawanda vakabvunzwa mubvunzo unoti iwo “Wakaziva riini kuti uri ngochani?”  Vakawanda vanoti vaziva kare kare vari vanana makore asati asvika gumi nemaviri. Saka iwe mwana wako anokwanisa kuziva achiri ku PRIMARY SCHOOL. Hwisisa kuti hapana zvaunokwanisa kuita kudzivirira mwana kuti asaita ngochani. Asi unokwanisa kuti ukaziva kuti mwana ari kutaridza kuva ngochani, anokwanisa kukuvadzwa nevamwe vana muraini nokuti vakawanda havazvifariri.

Mazuvano e SOCIAL MEDIA unokwanisa kuzoona mwana wako atogwa pikicha yapositiwa pa WHATSAPP nyakuposita achirotomoka pamusoro pemwana wako. Chii chaunozokwanisa kuita?

Ngochani dzakawanda zvakadii? 



Ava ndevemu Germany chete. Imwe neimwe nyika ine ngochani asi kungosiyana mawandire adzo chete. Zvinohi kana tikatora vanhu vepasi rese vanoita zvechingochani vari pakati pe 2% ne 11% asi varume ngochani vakawanda kupfuura vakadzi ngochani. Saka vanokwanisa kusvika 700 Million kana kuti pfuurei. 

Kana vachiverengwa seizvi vanoverengwa vese kubva pane vanozviti ingochani nomoyo wese kusvika vaya vanongoti akawana munhu wekuvata naye haana basa kuti munhu wacho murume kana kuti mukadzi asi kungoti anoda kuvata naye chete votovatana zvopera zvakadaro. 

Kwedu kuZimbabwe ngochani variko chose uye vakangogara variko vese varume nevakadzi. Kuti uhi ngochani zvakasiyana nomunhu ane pamberi pane zvese murume nomukadzi. Aiwa. Ngochani munhu asina zvakakanganisika pakutarisa muviri wake asi kungoti anoda kuvata nevanhu vakafanana naye. Kune vamwe vakapusa vanofunga kuti hungochani hwakabva kuvarungu, izvo bodo ngochani dzakangozari nyika dzese zvisinei kuti kune varungu here kana kwete. 

Vanhu vatema ku USA vane hungochani kupfuura varungu vemunyika iyoyo. Ungochani hahusi kuvarungu chete. 

Ngochani vanhu vakawanda chose. Usafunga kuti vashomanana saka hazvina basa. Vakatowanda chose. 

Kune nyika dzine mitemo yokuti ukaita zvechingochani unosungwa, asi mitemo yakadai haibatsiri chinhu, ngochani dzakangozara zvakafanana nokusina mitemo yacho. Ku South Afrika varume veko vamwe vasina njere vanofunga kuti kubata ngochanikadzi chibharo zvinozoita ade varume. Kusahwisisa ikoko. 

Kumwe vanoti vakaziva kuti uri ngochani votsvaka kukurova. Imi vanenjere motoshaya kuti kurova kunobatsirei pahungochani. 

Hwisisaizve kuti vanhukadzi vakawandisa vasiri ngochanikadzi vakangoziva kuti murume ingochani, vanoda kushamwaridzana naye chose kupfuura kushamwaridzana nomurume asiri ngochani. Ingari yokuti kana uchiita nyaya nengochanirume haakufungiri zvokuda kuvata newe. haapoti achikuongorora mazamu ako kana magaro ako. Anoita shamwari chaiyo isina zvimwe zvingaitika makaruvara kana kukuisa pamuedzo. Unokwanisa ktaura naye seshamwari sikana yako. 

Saka ngochani vanovatana sei? 
 Ngochanirume
Pakuvatana ngochanirume vanongomisiranawo zvombo asi vese vanomira chombo. Vanorezvana sezvinongoitawo murume nomukadzi. Vanokisana, vanosvetana zvombo, vanongofongoreranawo sezvinoita murume nomukadzi asi kungoti pakati pavo umwe anofongorera umwe opinzwa kusvina uko orhojewa vese vamire zvombo nezemo.  vanokwanisazve kurhojana maoko sezvinongoita murume nomukadzi kana mukadzi achitambisa chombo chomurume nemaoko kusvika murume atunda, sezvamunoita kana mukadzi ari kumwedzi murume achida kutunda. Kana kungoisa vasirina muzvidya woisa makumbo pamwe chate murume orhoja makumbo kusvika atunda. ngochanirume vanokwanisawo kuzviita asi zvidya zvavo hazvina kutsetseka sezvavakadzi.

Zvokuti apinza umwe ndeupi zviri kwavari. pamwe vanochinjana, pamwe vanoita makore umwe achiiswa noumwe iyewo asingadzoreri.  Zviri kwavari.

Ngochanikadzi:
Kuti varume vahwisise Ngochanokadzi zvinonetsa nokuti varume vakawanda havahwisisi kuti kana mukadzi ari ega achida kuzvitundisa haanei nokupinza chinhu mukati make. Nyaya zhinji dzinongoperera pakuzvikwiza bhinzi chete. Kana azova noumwe mukadzi vese vanoziva kunaka kwekukwiziwa bhinzi uye vese vanoziva kuti zvinoitwa sei sake dambudziko hapana. Vanokwizana bhinzi nemaoko, vanosvetana bhinzi, vanokwanisazve kuisa bhinzi dzavo pamwe chete vakavhura makumbo sezvigero zviviri, vokwizana bhinzi nebhinzi kusvika vatundisana.

Saka usazvinetsa kufunga kuti unonakigwa zviri nani kupfuura ngochani. Pamwe vanotori mberi nokuti kudanana kwavo kwakawanda kupfuura kwedu. Varume vaviri vanohwisisana kupfuura zvinoita murume nomukadzi. Vakadzi vaviri vanohwisisana kupfuura zvinoita murume nomukadzi. Murume anoziva kuti kana achipinza chombo kushure kweumwe murume zvinonaka sei, nokuti iye anopota achipinzwawo kumashure noumwe murume.

Mukadziwo haadzidzswi kuti bhinzi inokwiziwa sei. Vamwe vevarume vedu unokwanisa kuita gore chairo asina kana kukukwiza bhinzi zvinogutsa. Anokwanisa kuita makore mashanu asina kumbokusveta bhinzi nokuikwenya norurimi, asi vakadzi vaviri pahungochani hwavo vanoziva kuti zvinonaka sei saka vanosvetana bhinzi dzavo vachinakigwa zvisingaite. Isu mhomho tichivaseka asi pakunovata mufaro hatina. Zvobatsirei?

Kune vanopopota kuti ngochani dzinoita zvisingadiwi neBHAIBHERI saka vanofanira kudziviswa. Handirambi asi ngatipedze nyaya kwete kuita chidimbu. Bhaibheri harivanziri vanhu. Rinotaura zviri pachena kuti:
1 Varume idai vakadzi venyu sokudiwa kwamunoitwa nomusiki wenyu. Asi unoona varume vachisiya mukadzi wemahara mumba vachinotsvaka hure rine siki uye rakazara urume hwevamwe varume. Asi ipapo anopopota kuti sei ngochanirume dzichipinzana kumashure ndezvemhuka. Ko kuvata nemahure hazvisi zvemhuka here dzisingahwisisi kuti kune siki uye guchu reurume hweumer murume harisi rokuda kupinzawo chombo chako. Ndezvemhuka izvozvo saka tanga wagadzirisa nyaya yako iwe ugozowana simba rokumhura vamwe vanokanganisa.

2 Bhaibheri rotaurazve kuti vakadzi zvipei kuvarume venyu nomoyo wese nokuti mukadzi kumurume wake akafanana nekereke kumuridzi wekereke. Zvipe kumurume wako. asi inoona vakadzi vachikomburna kuti mwanasikana wanhingi ingochanikadzi. Zvinoshodesa uye hazvina unhu, asi iwe uri kurega murume wako achibuda mumba anezhara nenyota yokuvatana kuita seasina mukadzi.

3 Bhaibheri rinoti usaita upombwe asi zvese varume nevakadzi vanoona sokuti kuita upombwe zviri nani pane kuita ngochani. Kutoda kurova munhu kwahi sei uri ngochani. ko ari kukurova iwe kuti sei uri mhombwe ndianiko?

Kana wafunga kushandisa Bhaibheri panyaya dzehungochani, tnga wagadzirisa nyaya dzako iwe.

Ini ndogaroudza vanhu pano kuti veduweeka, hazvimbogozhi kugarisana nomurume/mukadzi wako mumba zvinofadza. Unongozvipira kuda munhu wako chete chete. zvese zvaunoita woita murudo. Chero uchipopota, popota une rudo mukati kuti akakumbira regerero anoziva kuti unomuregerera. Hino tinotokundzwa ngengochani.

Hazvisvodesi here kuti imi muri kufunga zvokurambana asi ngochani vamunomhura ndivo voita michato inoita upenyu hwese? Zvinofanira kushungurudza vanhu vanozvifunga. Sokuno kuUK kwavanoroorana ngochani. Unoona mukadzi nomurume vanogara NEXT DOOR vachibatana pahuro nokuhurirana, musi umwe chetewo wowona ngochani vanogara pedo vachibuda mumba vakabatana maoko vachiinda kuPARK kunofambafamba vachifugwa nemhepo vachiita nyaya vakabatana maoko. Hazvikusvodesiwo here kuhwisisa kuti uri kupiwa EXAMPLE nevanhu vaunogarotuka?

Chokupedzisira ndechokuti kana uri murume, hazvirevi kuti ngochanirume achada kukunyenga. Bodo. vanotoziva kune dzimwe ngochani saka havanei newe. Usazvinetsa hako uchifunga kuti uri munhu akanaka zvokuti ngochanirume vachada kukunyenga. Bodo.

Kana uri mukadzi usafunga kuti ngochanikadzi vachada kukunyenga. Aiwa vanozivana ivo pachavo. Zvinototiwa kana vaona kuti unokwanisawo kuda kunyengana naye iye mukadzi wacho, ndipo paanokwanisa kukunyenga. Munhukadzi wega wega anoziva zvokuita kana achida kuonekwa kuti anoda kunyengwa.

Udzai Vamwe!!!!!!!!!

Asi kana uri munhu anoda vanhu vakafanana newe, tiudzewo mafungire ako iwe kuti chikonzero chii.