Monday, 23 July 2012

Kududzirana musati maroorana.

Toti une makore anopfuura 20. Unenge wakatombonyengwa nevakomana vakawanda kana uri munhu anogara akachena pakutarisa. Asizve mukomana wase anokunyenga anenge achitoziva kuti une mukomana chete. Fact yokuti iye akunyenga inoreva kuti vamwe varume vanokuona uri munhu akakodzera kuita musikana wavo. Pane chaanenge atoita ruchiva nacho ipapo, chinochiviwa navamwe varumezve.

Toti zvangoitikawo kuti hauna mukomana nguva iyoyo kana kuti aunaye hauchamudi. Umwewo mutsva okunyenga. Kana ane makore anopfuura 17, unofanigwa kumufungira kuti akatomboitawo vamwe vasikana. Vanhu vokuZimbabwe tinotanga nyaya dzevakomana/vasikana tiri kuSekondari School, Form 2 vakawanda. Vamwewo vanoti nonokei havo. Kutanga nyaya idzi munenge muchingoita zvemahumbwe henyu asi ndiko kutanga kwacho.

Vanotora ropa voku Blood Transfusion Service kuZimbabwe vanogaronyora maREPORT avo. Vakambonyora REPORT yokuti 15% yevana vechikoro vemu Form 2-3 vakatombovata nevarume.

Imboverengazve Report iyi kubva kune vamwe muna 1998.
HIV/AIDS has had a major impact on the health status of Zimbabweans. Zimbabwe is among the five most affected countries in the world. Despite various efforts over the past years to combat the epidemic, sexually transmitted diseases and HIV/AIDS remain a serious problem in Zimbabwe. It is estimated that roughly 35% of the urban and 20% of the sexually active is being infected. The epidemic has reached all subgroups of the population, including youth and children. 60% of new HIV infections in women are under 20 years of age; 20 % of the unmarried men are already infected. The impact of the epidemic both on the macro-economic (losses within the productive age groups, especially skilled, professional and hard to replace labour, the burden of a high number of patients with HIV-related diseases on the health sector) and the household and community level (death of breadwinners and high numbers of AIDS orphans) is enormous and threatens to jeopardise the country’s chances of socio-economic development.

Pane iyi pane nyaya dzakawanda nokuti vamwe vana vanozvagwa vane HIV. Asi ukayeuka pawakaita Secondary iwe uchayeuka umwe munhu aitoziva kuvata nevakomana/vasikana, kana varume/vakadzi vakuru. Vakomanawo vanozviita kutopfuura vasikana, asi kana mukomana oda kuroora unohwa oti anoda mhandara asi iye akaboora mhandara dzakawanda achidzisiya dzisina anodzida kuroora. Ndiko kufunga kwevarume ikoko. Fungwa dzavo ishoma shoma kana tiri panyaya yokuvatana. havana kusiyana nembwa chaidzo. Chero maroorana uchaonazve kuti murume anongoita sembwa. Pari kuiswa urume noumwe ndipo paanoda ipapo. 

Asizve havanetsi kugadzira. Isu tikangorambawo kurhojewa anongonorhoja zvisikana zvinobva kusina anoraira. Kana azokunyenga oda kuroora, iwe womuti hendei kuTEST. Ndipo paunoona munhu ogedageda mazino nokutya kuzikamwa kuti akamboita tumwe tuma STI.

Mabva kutest mukabvumirana kuti mese hamuna mapasuro, munokwanisazve kutaurirana nokubudirana pachena kuti mberi uko zvisazokunetsai.  Chinhu chakanaka kusarudza munhu uchiziva wega kuti ane HISTORY yakadii.  Munokuanisa kunyorerana pasi mochinjana mapepa amanyora. Anoda kubvunza obvunza kuti apa zvakafamba sei. Varume  vakawanda vanoda kuziva zvinhu zvisina nebasa rese pavanhu vawakambodanana navo.

Wakadanana naye kwenguva yakadii?
Wakavata naye here uye kwapera nguva yakadii?
Uchiri kumuda here?
Anga ane chombo chakakura sei?
Kuti zvisakunetsai shandisai pepa rakaita seiri? Iyi i ekizamburo chete.


Former Partner
Partner age
My age
Year
Time together
Reason for break up
Sexually active?
Contraception
Diseases?
1
14
12
1998
3 months
Went to different schools
No

No
2
16
14
2000
6 months
He left me for another
No

No
3
17
15
2003
11 mths
Drifted apart after school
Kissing only

No
4
17
16
2004
18 mths
He left for RSA and lost contact
No

no
5
22
18
2006
2 years
Made another girl pregnant and married her
Yes
Pill
NO
6
28
22
2009
2 mnths
Still together
Not yet

No











Pese pakanzi YES podiwa kutaurirana kuti zvakafamba sei uye mava papi nazvo kubva musi wazvaitika.

Kana uchida murume/mukadzi uyu unofanira kutaura chokwadi. Kunyepera munhu chinhu chakaipa uye hwisisa kuti vashoma vanorambwa ataura chokwadi. Vanotaura nhema ndivo vanotorambwa musi waanobatwa kuti akanyeba. Kana akurambira kuti wamuudza chokwadi, zvoreva kuti munhu anga asina kukufanira saka musiye akadaro, uye ukanyengwa noumwezve, mutaurire chokwadi futi. Munhu anokuroora munhu anokuroora sezvauri, kwete sezvaanofunga kuti ungadai uri.

Varume vakawanda vanondinyorera vachitaura nyaya iyi vanokomburena kuti sei akandiudza nhema. Chinoitika muupenyu ndechokuti vanhu vausingambofungiri kusangana navo unokwanisa kusangana navo. Munhu wawakambovata naye muri kuchikoro unokwanisa kusangana naye Musupermarket ipapo iwe une mukomana wako kana kuti iye ane musikana wake ane mimba, iwe wongoerekana wataura zvisingataugwi.  Kana murume wako agara achitoziva kuti kwakamboita Titos kare, akasangana naTitos wacho mubhawa, Titos akangotaura dzimwe nyaya anokasira kuhwisira. Varume havadi kutaura kuti “Ndaiva nomusikana ainzi Colletta andakavata naye kashanu.” Anobva ataura sokuti ndiye shasha yokuvata nevasikana.

“Hure rangu rimwe rainzi Colletta ranga rakanaka zvokuti rine mazamu anomwisa mvura. Ndakamborikwira gore rese, rikatombogara kumba kwangu. Umwe musi mai vakazosvika riripo ndikaribudisa nepawhindho. Haa hure rainaka iroro. Ndikariona ndoda kumborikwira futi Madam vasingazivi.”

Murume wako akahwa story yakadai mubhawa, anobva atofunga kuti waingohura na Titos. Izvo Titos akatokutengera ring ndokukutaridza kuvabereki vake asati amitisa umwe musikana.  Iwe ingotaura chokwadi urambe nacho. Zvenhema hazvishandi mazuvano.

Kana wakambobvisa mimba taura kuti zvakafamba sei. Inyaya inonetsa kutaurira umwe munhu asi ukaitaura akaramba achikuda ziva kuti ndiye wako uyu achakuda chero waita sei. Akakurambawo rega aende. Varume vane rudo vakawanda, uchawana umwe.

Kana wakambosungwa ukaenda kujeri, taura zvibude pachena. Iyevo unomuda sezvaari. History yake ukaiverenga ukashokiwa nayo ukazofunga kuti chii chaakadzidza pairi, ukamubvunza akarondedzera zvinokugutsa chigara pasi ufunge kuti unomuda akadaro here?

Mu UK varume vange vane average ye 9.3 SEXUAL PARTNERs muna 2001 against 4.7 average yevakadzi. Mugore iroro.
http://www.telegraph.co.uk/relationships/sexual-health-and-advice/8958520/Average-man-has-9-sexual-partners-in-lifetime-women-have-4.html.

Asi tiri kutaura munyika yavanhu vasinei nezveumhandara kana ujaya hwemunhu pakuroorana. Vekwedu anotoita sokuti iye ijaya kutokomburena chose kwahi ndakakuwana usiri mhandara. Ipapo mukadzi ndiye atomuudza kuti ange asiri mhandara Otherwise dai asingazivi.

Tangai upenyu hwenyu pamwe chete nokutaurirana chokwadi pamusoro pehistory dzenyu. Mukadzi/murume wako ngaasazozvihwa kushamwari dzako kuti wakambodhakwa ukanovata kumba kwanhingi ukaita zvokuti nezvokuti.

Kune vasikana vakawanda chose vanosvika kuma 20 chakuti vari mhandara, kozoitazve vakomana vakawanda vanosviko futi vari majaya. Chinongozonetsa apa ndechokuti majaya awa haazoroori mhandara idzi. Umwe wandinoshanda naye akasvika 38 asina kumbovata nomurume ndokuzowanikwa nomurume ane mwana noumwe mukadzi. Mukadzi uyu NdeweCHiTawara. (JW) akarambigwa nyaya yokuti murume haabvumidzwa kubata pamberi pemukadzi nemaoko, kwahi rega zvingosangana zvega. 38 yazowandisawo hayo asi kuma 20 vakawanda vanosvika. Kana wada kutsvaka mhandara iwe uri jaya unoiwana.

Pano ndati udzanai chokwadi mutange upenyu hwenyu muchiziva kuti mumire muchokwadi. Ukada kuvanza chokwadi chichangozobuda pachena wobva waita upenyu husina kunaka.  Hwisisa kuti murume/mukadzi anokutarisa oita fungwa yokuda kuziva kuti wange uripi nguva yese iyi.  


Ndofunga ndikawana nguva ndoda kumboita CASE STUDY panyaya iyi. 

Udzai vamwe!!!!

Sunday, 22 July 2012

Ko sei vakadzi tichipfeka mabhurugwa

Zvibvunze kuti sei wakapfeka bhurugwa pasi pedhirezi iwe pasina kwauri kuenda nhasi? Munongori vaviri iwe nomurume wako nezvivana zvenyu zvisingatombozivi kuti une bhurugwa here kana kwete. Nyaya iri papi iyi? Pane imwe psychology here apa?

Ukatarisa kare mabwe dzichi nhuku, ndingati kusvika kuma 1970 chakuti uko waiona kuti vakadzi vakawandisa muZimbabwe vange vasingapfeki mabhurugwa. Kwaitozoti kana ofamba gwendo pamwe opfeka bhurugwa. Ukabvunza vanhu vanoshanda nezvama AMBURENZI vaya vanokuudza nyaya iyi nokuti vanhu vakawanda vaikuvara mumigwagwa umu voendeswa kuzvipatara vasina mabhurugwa.

Nyaya yokupfeka mabhurugwa echikadzi (UNDERWEAR) yakauya zvishoma nezvishoma kuzosvika yazadza nyika yese. Ikozvino chero chembere dzakura dzava kupfekawo mabhurugwa.

Vakuru vedu vaipfeka nhembe mbiri imwe mberi imwe sure, pasina kana bhurugwa. Ipapo waiti kana ukabata musikana chibharo waisungwa woendeswa kwashe kunotongwa. Pedzezvo wonzi chitora mukadzi wacho aite wako wobvisa fuma. Majeri kwange kusina. Vakadzi vakuru vange vachitotyisa kubata chibharo asi vaingofamba mazamu ari pazhe mativi achiuno achionekwa.

Nhasiuno tinopfeka dhirezi rinovhara muviri kusvika pasi pemabvi, mukati topfekazve bhurugwa ne bhuraziye yemazamu. Kune dzimwe nzwimbo mu Zimbabwe, kwahi ukabatwa chibharo bhinya rikakubvarurira bhurugwa, unotokwanisa kuendesa bhurugwa racho kumapurisa woti rinoratidza kuti pakaitwa ganyabvu. Saka kana usina bhurugwa musi iwoyo zvinofamba sei? Zvoita sokuti bhurugwa ndiro riri pakati pako nebhinya.

Ndakambobvunza varume kuti sei vachipfeka Underwear, ndikatoona kuti vashoma vane mhinduro yacho, Umwe akati anopfeka nokuti akasapfeka anokwanisa kubata chombo nezipi paanoenda kutoiret zvinova zvinogwadza, umwe akati bhurugwa romukati rinobata zvinhu zvake kuti kana akatanga kumhanya zvisango jaivha zvichionekwa. Umwewo akati underwear inofanira kungopekwa navarume kuti paanoweta anodonhedza weti atobuda mutoireti saka kana asina bhurugwa romukati kunyorova kunozoonekwa pamberi, zvomusvodesa.  Kara vanhu vakuru vange vasingaweti here?

Isu vakadzi tinoti tikanoweta mutoireti tinopisika munhu ozobuda asina chingadonha. Tinoweta takagara uye hapana chokubata nezipi, uye kana ndichimhanya hapana chinoonekwa. Saka isu tinopfekerei mabhurugwa. Ndakabvunza vasikana kubasa zvikahi noumwe, “Ndopfekera kuti kana ndikaita zvipusha ndikazomukira kuchipatara chokutanga ndoda kuziva kuti hapana andibata pamberi.”  Umwewo akati hazvingoitiwo hazvo kuti abude mumba asina bhurugwa.  Rhiseni chaiyo inonetsa kuiwana asi vanhu vongopfeka mabhurugwa vasina kufunga kuti vanozviitirei.

Varumewo vanoona sokuti mukadzi ane bhurugwa ane unhu kupfuura anofamba asina. Kwahi na Timbe wekuNigeria, “Mukadzi anofamba asina bhurugwa ari kutsvaka rhoji.” Ini ndokumubvunza kuti vasikana vese vaunoona mutawundhi manheru eChina neChishanu vakapfeka zvimatambho netumicheka zvidya nomusana zviri pazhe vanenge vasina mabhurugwa here?  Zvikahi bodo. Ndikati saka zvawataura hazvishandi nokuti vazhinji vavo vanenge vachitotsvaka rhoji.

Saka bhurugwa rava paneimwe STATUS yarange risina kare. Umwe musi ndokufonera murume ndiri kuTESCO kumubvunza pane chaanoda kuti nditenge here. Tiri kutaura kudaro ndokumuudza kuti ndauya kuTESCO ndisina bhurugwa. Ndikahwa munhu otochinja hwi rake obvunza kuti “ARE YOU OK?” atova mu PROTECTION MODE, nenyaya yokungoti handina bhurugwa.  Tava kumba ndihwe munhu oda kutohwisisa kuti sei ndaenda kuTesco ndisina bhurugwa. Ini kwava kutozotsanangura kuti kana ndiri off mazuva akawanda handipfeki bhurugwa. Zvokuti ndazoenda kuSUPERMARET ndakadaro hazvina kana basa.  Ndikati iwe Sunday haupfeki Underwear wani zvakangofanana, Kwahi bodo iwe uri mukadzi ini ndiri murume, ini ndokubvunza kuti kuva mukadzi kana murume zviri muUNDERWEAR here?

Varume vanoona sokuti Underwear ine basa guru kupfuura zvatinoona isu. Tiri kuchikoro waihwa mukomana achikubvunza kuti wakapfeka underwear yerudzii? Hameno kuti vaiita sei nekuziva rudzi gwebhurugwa remusikana.  Kana muchitamba masipoti ukakotama akaona kuti une bhurugwa rorudzii, anozokuudza wava umwe musi kureva kuti anga achizvifunga pese apa.

Bhurugwa remukadzi harisi bhurugwa chete. Murume akaona bhurugwa rako wakagara zvisizvo muchitima kana pabhenji, anoita zemo kupfuura zvaanoita kana akaona panhu chaipo. Varume vane nyaya nemabhurugwa edu.  Mukadzi ane murume mumba anofanira kuhwisisa kuti bhurugwa rake chinhu chinokosha panyaya dzomumba. Kana uri kumwedzi unopfeka zibhurugwa ronoputira zvakawanda, woisa zvinhu mukati maro kuti usazvibisa machira.  Murume akakuona wakaripfeka iroro anobva atoti fototo nokuti anoziva kuti rhoji hakuna nhasi.

Kana matukana ukapinda mumachira wakapfeka bhurugwa anoshungurudzwa nazvo nokuti uri kumuudza kuti rhoji hakuna nhasi kusvika tagadzirisa nyaya dzedu (Kusahwisa uku. Usambofa wakaita izvi kumurume wako kana uchida kuva naye kwenguva refu) Kana akachenjera akangoona wamupfekera bhurugwa pakunovata anobva atotanga kupira nyaya yake kuti ahwisiswe mutaurirane. Iwe chiregawo kumubingisa. Kana ataura zvakafanira, tenda murume wako ubve wamutaridzawo kuti iye ndiye murume wako. Chibvisa bhurugwa utange kutamba naye.

Pakunovata,  ukabvisa bhurugwa wega usati wapinda mumachira zvoreva kuti wakazvigadzirira kuita mabasa emuimba yokuvata.  

Pamwewo ukapfeka rimwe bhurugwa rakadhekoretwa zvakanaka, rinowedzera zemo romurume. Iwewo imbofamba famba wakaripfeka uchaona achikutevera nemaziso. Pane zvaari kufunga.

Pane mabhurugwa akangoita setambho rokuti kana ukaripfeka katambho kacho kanopinda pakati emagaro, kuno kumberi kunenge kune kamucheka kadikidiki kakafukidzira chitubu chete. Rinohi THONG.  Iwawa mabhurugwa anokwanisika kuti murume apinze chombo iwe wakaripfeka. Kungorikwevera kudivi otopinza. Hapana nebhurugwa riripo ipapo. Varume vanomafarira mabhurugwa awa.  

Chionazve rimwe bhurugwa rakapatsana pakati zvokuti iro bhurugwa racho rine chitubu. Rinohi crotchless knickers rakatosonwa rakaitigwa kuti urhojewe wakaripfeka, Mucheka waro ndewe SILK inova yakatsetseka zvokuti pakurhojana murume anofarirawo kupurudzigwa nayo. Imbova nawo mabhurugwa awa uone kuti murume wako anozvitora sei.

Kubvisira murume bhurugwa zvinotaridza kuti wada kuti arhoje. Mumba menyu unokwanisa kumuti iye akubvise bhurugwa kuratidza kuti ari kuda kukurhoja. Zviri kwamuri kuti anobvisa bhurugwa rako ndiani asi hwisisa kuti mabhurugwa edu isu vakadzi ane basa guru mufungwa dzevarume vedu. Bhurugwa harisi nhumbi yokupfeka chete nokuti harina basa pakupfeka kwedu. Rine basa pakushanda pafungwa dzevarume vedu.

Imbozama kuti muri pagwendo mafamba 30 minutes nemota iwe woudza murume kuti wakangamwa kupfeka bhurugwa. Uone kuti anodii.

Udzai vamwe!!!

Imbofunga nazvo


Imboti dhuuu wakadaro ufunge kuti kana murume/mukadzi wako akabata chigwere, nyaya yenyu kubva ipapo inofamba sei?  Isu vakadzi tine SERVICE mentality yokuti tinnofunga kuti takazvarigwa kupa service kune vamwe vanhu mumhuri. Tisu tinomiramira pamba kuona kuti vanhu vadya vakaguta, vana vaendeswa kunovata, vana vagezeswa, nhumbi dzaainwa, umba yakorobhiwa, bhutsu dzavana dzechikoro dzaplishiwa, huku dzakushigwa chibage nemapfunde, Budget yepamba yakakwana, murume idziisigwa mvura yokugeza. Mubhedha wawadzigwa,  etc. Pane zvimwe zvakawanda zvamunokwanisa kuwedzera ipapa.

Saka nyaya inoitika ndeyokuti murume anobata chigwere kuhure. Adaro ouya nacho kumba opa mukadzi wake. Mukadzi munhu akasimba kupfuura murume kazhinji. Mukadzi akaziva kuti ava nechigwere, anokasira kuziva kuti sezvo asina kuhura, zvinoreva kuti murume ndiye akauya nacho saka atovavo nacho.  Ipapo anochema hake asina anomunyaradza, agozvidya moyo kufunga kuti vana vake vanosara vachireriwa nani kana afa.

Pese ipapo anongoramba achichengeta murume zvakangofanana nezvaaiita chigwere chisati chapinda mumba. Murume akangoita maronda ekutaridza chigwere, chokutanga chaanoita kukwira bhazi oenda kuhama dzake ondodziudza kuti muroora wenyu akandihurira saka ndava mugwere. Hama dziya dzotsamwira muroora kwahi watiuraira hama yedu.  Mukadzi anowedzera kuchema kana ari ega, asi anoramba achichengeta murume wake. Akaita mimba anozvara chimwana chine chigwere choti are gare chofa, murume haana emotional nazvo. Mukadzi ndiye anocheme usiku masikati, asi anoranba achichengeta murume wake  nevana.

Murme achatora mari shoma iri mumba kutsvaka n’anga dzokumurapa. Anosiya mukadzi asina anomurapa, asi mukadzi anoramba achichengeta murume wake. Panozoita makore maviri murume ari pamubhedha achigwara mukadzi achimubikira, achimuisa napukeni, achiwacha machira aya anoitigwa svina, achterera kutukwa kuhi wakandipa chigwere. Anoramba achichengeta murume wake kusvika afa. Parufu madzitete vanouya kuzotsoropodza muroora wavo, kusaziva kuti ivo vanhukadzi wo vanochengeta varume vavo kusvika parufu. Mukadzi anosiiwa navana pasisina mari yokuvachengeta asi anoramba achichengeta vana vake.

Mukadzi kubva musi waanopiwa chigwere kusvika musi waanoti haachagoni kumuka mumubhedha kana kuzviwachira machira aaitira svina, anenge asina munhu wekumuchengeta sazvaakaitira murume wake. Kunotozoti vokumusha kwake vahwa kuti mwana enyu agwara, votumira mununguna wake kuti azochengeta. Ndiye achamuchengeta kusvika parufu. Adaro hamarume dzomurume dzikangohwa kuti kwaita chimainini, dzotomiramira kuda kuchirhoja kuti chiitewo chigwere somukoma wacho.

Ndiko kukanganisika musoro kwemunhu anohi Mukaranga uku. Mukadzi munhuwo zvake akazvarigwa kungushandiswa sedhongi rinoti rikamhanyiswa kuenda kuchigayo hapana charinowana pazviri. Rikatopiwa guri rechibage kuchigayo ikoko rototi raita rombo rakanaka musi iwoyo. Rikaramba kuenda kuchigayo rinorakashwa asi risinei nokuti munhu agaisigwa here kana kwete.

Hwisisai apa nokuti zvandiri kukutaurirai zvinhu zvinoitika mudzimba zhinji. Tarisa pateni yokufa kwavanhu, uchaona kuti murume kazhinji ndiye anotanga. Mukadzi ndiye anochengeta.  Isu vakadzi tinozoziva kuti zvinhu zvashata mumba tatova nechigwere kare. Ipapo zvana hazvina kusvika makore 10. Uku chibereko chichine mazai. Achiri kungoda kurhoja iye mukadzi wacho waaa chigwere.  Chaandisiira mumba achinotsvaka vamwe wochishaya kuti chiri papi.

Hazvanzi yangu mwana wababamukuru paakaita chigwere takaona ndondo gore ra1999. Mukadzi ndiye akatanga kurobwa kwahi wandipa chigwere. Maiguru ava vakasvika pafa vasina kumbovata oumwe murume kuzhe kwaiye nyakurova uyu. Yakazoti shasha yapesa samba rese, muviri rangove ganda rakafukidza mabhonzo, mazino ogedageda munhu achitaurira pasi pasi kunge ari mumwena, takazviona tese, mukadzi achimiramra pamurume wake. Kwahi ndakaporomisa kuti tinosvika parufu. Murume wakati achifa 2007, mukadzi ndokuteverawo kwapera mwedzi mina. 2010 chimwana chigotwe ndokutevera vabereki. Ndicho change chasiiwa chine chigwere. Vaya vamwe vana vasarapo 4, ndokuhi umwe uko umwe uko umwe uko mumhuri. Unotarisa ukachema kusvika wangoona kuti misodzi haichatombobatsiri pakadai. Munhu kusiya vana vake dzava nherera  ane makore 34 nokuda kwekuhura kwemurume.

Chitarisa uonekuti munyika munei. Unoona kuti
Mumba mune mukadzi anototi akasarhojewa anotsamwa zvokuti bhee.
Murume wacho nyakuhura uyu ane maoko ake okuti kana atadza kusvika kumba kune mukadzi, anoashandisa oteura urume hwacho hunomupa zemo. Patsime anotoudza vamwe vakadzi kuti murume ava nemazuvamaviri asina kumbomubata. Vakadzi vakuru vorondedzera kuti enda unobika zvokudya zvaanofarira. Murume wese anohura ane mukadzi kumba ane zhara yerhoji huru.
Makondhomu  akazara nyika yese, mamwe emahara.

Asi varume chero ukamutaridza logic yekuhura ukadii, haana basa nazvo kana ari murume anoda zvekuhura. Anongofamba Brain yake yese iri muchombo. Kana kusemeswa haasemeswi. Kutobhostira vamwe kwahi Ndarhoja chimuhure chiya chemagaro mahombe ndikanakigwa zvokuti. Munhyu mukuru kuita njere shoma pane dziri mumadhoti enguruve.

Ko sei vakadzi tichidaro kana murume agwara?
Kazhinji vana vane surname yomurume havo asi shuwa vana ndevemukadzi. SACRIFICE inoitwa nomukadzi nokuda kwevana vake ihuru chose. Anogara pamurume, adaro obvuma futi kurhojewa na Same munhu amupa chegwere iyeye. Kungoita sokuti hapana chaitika. Zvese izvi nokuda kwevana chete.  Ukaona murume anoti asvika kuhure oyeuka kuti asiya vana kumba, orega kuhura odzokera mumota yake oenda kumukadzi nevana, murume iyeye anofanira kupihwa mhenduru. Vashoma varume vane basa nevana vavo. Kuno ku Wolverhampton, UK, kune umwe wechizimba, akamitisa mu West Indian ndokuramba, ndokumitisazve murungu, ndokuramba, ndokumitisazve musikana wekuGhana, ndokuramba, vhiki ino takahwa kuti Lilian wekedu ane mimba yaStephen.  Uone zvana zvacho kufanana nababa vazvo kuita senyimo. Asi shuwa Murume uyu ane mukadzi nevana kumusha.

Ka kana wati mukadzi ari kure iwe uchida rhoji, chishandisawoka makondhomu. Mukadzi wake kuHarare ikoko akangohura unoona hama dzomurume kumiramira, miromo kusiririka nehasha.  Vanhu kwanai.

Saka torega here kuchengeta varume kana vagwara?
 Handisi kuti rega kumuchengeta. Ndiri kuti funga nezvichaitika usati watanga kubata rhoji sechinhu chidiki mumba. Vakadzi tisu time MORE TO LOSE THAN varume, nokure kure. Murume haakendengi nazvo.  Vana haana basa nokuti vachaita nherera. Iwe mukadzi ndiwe uchaita misodzi, nhamo, kufunganya, zvese. Iye chero oda kufa fungwa iri pahure chete.

Saka nhasi uno mumba menyu muchine mufaro, tarisa nyaya dzako dzemumba uchengete murume kubva pamiidzo yechihure. Zvange zvichanoitwa nemahure gumi, iwe itira murume izvozvo wega muridzi mumba mako wakasununguka  moyo. Ndiyo INSURANCE yako iyoyo iwe nevana vako. Nyaya yerhoji mumba hainei nema  INDIVIDUAL RIGHTS kana mutemo wenyika. Ndeyokungoti iwe unoihwisisa makurire ayo here kana kuti kwete.

Muno mu UK mune vanhu vanohi FRIENDS WITH BENEFITS. Kwahi kana unaye uyu musi wawashaya wekurhoja, unokwanisa kumufonera chero kuma 2 kuseni kuti ndiri kuda rhoji. Anokuti uya urhoje. Ipapo haasi mukomana/musikana wako. Munongova shamwari chete. Haadi mari yako.  Hino kana vanhu vasina kutomboroorana vachidaro iwe une murume mumba ungazoti hee handidi kumutswa, hee ndakakuvhurira madeko saka nhasi bodo, hee waramba kundipa mari yebhutsu saka nhasi hauna chako, chii chii. Zvinoitawo here izvozvo kumunhu akamira mberi kwevanhu akati “I DO.!!!!”

Kurhojana ndiyo VEHICLE youpenyu. Zvimwe zvese zvaunoita panyika pano kuitira kuti ukwanise kusapota upenyu hwako nehwevana vako. Hwisisa apa. Pakaitika break down panyaya iyi unokwanisa kufa.

Varumewo tarisai upenyu hwamuri kutipa, nemadambudziko amunotipa, mufungewo kuti munhu uyu anohi MAI nevana vako munhu akaita sei. Kana uchida IMROVEMENT pane nyaya chero ipi zvayo mumba, udza mukadzi wako murudo kuti dai wawedzera izvi neizvo toenda mberi. Kana wamuudza akarega kuhwisisa, muudze futi kusvika ahwisisa. Kana achikubhowa nokusada kuita zvaunoda, tora pepa umunyorere wobva wamuisira date raunoda kuti ange atanga kutaridza kuti ahwisisa.

Hakuna mukadzi wemumba asingadi kufadza murume wake.Pahwisisei ipapo. Ukaona zvaipa pane nyaya yausina kugadzirisa.

Kuhurirana haisi PROGRESS.


Udzai Vamwe!!!!!

Saturday, 21 July 2012

Murume/mukadzi anonaka


Kunaka KweMurume
Kuti mukadzi wako afunge kuti murume wake anonaka murume uyu anenge ari murume rudzii?
Hazvinetsi kuti murume anzi anonaka.Murume anofanira kuva nezvinhu zvishomashoma muunhu hwake. Anofanira kuva
Norudo pamukadzi wake
Nguva nomukadzi wake
Kugarounzira mukadzi zvinhu
Kutenda mukadzi kana aita zvinhu zvakanaka.
Kudzidza kusagumbura mukadzi wake
Kugeza kana wapiwa mvura yokugeza. wokweshawo mazino
Kusauya kumba wakadhakwa.
Kugaroitisa mukadzi manyawi nokumukudza zvikuru kana pane vanhu.
Kuterera mukadzi kana achitaura.
Pakurhojana murume anonaka murume anotora ngva pakutamba akamirira kupinza

Kana tichiti kutamba tinoreva kutamba nomukadzi wako musina kupfeka, Hwisisa kuti pamberi handipo mukadzi wako. Mukadzi wako ane pamberi asi ane muviri wese unoda kubatwabatwa kupurudzigwa, kupiwa TONGUE BATH, kutariswa, kusvetwa, kusvinyangwa nemaoko, kukiswa, kupinzwa zvigumwe, etc. Muviri wese ndiwo mukadzi wako. Ona kuti zvese zvaari zvabatwabatwa. 

Zvadaro ipawo mukadzi wako chombo atambe nacho, minyatso yako aiswete, magaro ako amapurudzirewo sezvaunoita ago. Ndiko kutamba kwacho ikoko kunokonzera mukadzi wako kunyorova zasi uye kuva nezemo rakawanda. 

Kana murume azopinza achida kuva munhu anonaka, anotora nguva asati adiridzira mukadzi wake. Tora nguva uchiti ukakoira koira, wombomira mukadzi iota sowotonhora achida kukoigwa iwe uchimuita zvishoma, wombowedzera futi, woderedza futi, uchingodaro kusvika wazomuita zvokumupfidzisa wobva wamudiridzira hako. Whisisa kuti kuva nechombo mukati kunofadza saka ita nguva urimukati memukadzi wako, kwete kuita senhunzi kungoti miniti isina kupera watokotsira uchifuna kuti wapedza basa. Bodo. ita nguva. 

Kana murume ari munhu akachena pamoyo, ari munhu ane rudo, asingakasiriri mukadzi wake, munhu anonaka chete. Isu vakadzi hatisi vanhu vanonetsa kugutsa. Ndizvo muchiona kusina mahure echirume akawanda anobhadharisa. Ingari yokuti hakuna MARKET yacho. Isu vakadzi tinenge takaguta izvozvo zvishoma zvatapiwa kumba. Ukaona mukadzi wemunhu ohura, pane nyaya dzakawanda ipapo. Hatimbonetsi kunakira kana. Taridza rudo uye tora nguva pakurhojana, chete chete.

Chiona mesomeso anoitwa nevarume nokusagutsikana nezvaanazvo kumba. Murume akangofanana nenhunzi panyaya dzerhoji. Nhunzi unomhara panyama, yodya yoguta, yoona imwe nyama yoendapo futi yadya futi. Hazvina basa kuti nyama iri nani ndeipi pambiri idzidzo.

Kwahi naimwe shamwari anobva kuZambia. "Murume akashata pameso kana kuti chifupifupi ndiye anonaka nokuti anoziva kuti akatombopiwa chanzi aita rombo rakanaka musi uyu saka anobva aita nomoyo wose nokuti kukangopera nguva asina kuriwana futi, Asi kana wamufungira kumuda, tora nguva yakawanda usati wavata naye kuti azive kuti chanzi ishoma."

Mahwa  here varume? Ukangodzidza kunonoka kudiridzira mukadzi wako, uye uchimupa rhoji inorudo mukati, watova munhu anonaka. Mukadzi anonakigwa haapopoti, haafoyi, anopa rukudzo kumurume wake. Saka ukaona une dambudziko pane izvi mumba mako, ziva kuti mukadzi haasi kuguta. Usamubvunza chinhu, ingomurongera womupa Rudo, nokunonoka, ugozotiudzawo kuti chii chaitika.  Hwisisawo kuti urume tinohuda chose asi nonoka kuuya nahwo. Chiendai munoita

Hino Kune vamwe varume vasina basa nokuti anonaka here kana kwete. Unonhohwa achitaura neshamwari dzake achishandisa mashoko eganyabvu nehasha chete. 
1 Chinhu ndinorova
2 Chinhu ndinokwapura
3 Chinhu ndino baya
4 Mukadzi ndinomusurisa
5 Ndakamutadzisa kufamba
6 Ndakamuchemedza
7 Hure riya ndakaritundira katatu
8

Zvese zvinotaugwa ukanatsoterera unohwisisa kuti FOCUS yake yese iri paari iye. Zvokuti mukadzi anakugwawo here haanei nazvo. Hazvitomopindi mfungwa dzake. Ndiye murume anozoti papera makore mana mukadzi wake tanga kuramba kuvata naye iye opopotera mukadzi kuita sokuti mukadzi ndiye ane mhosva. Anoona sokuti  kupinza nokutunda ndizvo zvinonakira mukadzi.

Varume itai fungwa yokuva vanhu vanonaka.  Mukore uno kuzhe uko kwashata sana nakira mukadzi wako iye akunakirewo murudo. Pota uchibvunza kuti chii chaungaita awedzere kunakigwa. Chii chaari kuda nhasi?


Kunaka kweMukadzi
Kuti murume wako afunge kuti mukadzi wake anonaka mukadzi anenge ari mukadzi akaita sei? Iyi nyaya tinokwanisa kunyora mabhuku pairi.  Murume umwe noumwe anoroora mukadzi waanofunga kuti mukadzi kwaye pamaonere ake. Kazhinji murume anokombeya mukadzi wake namai vake pazvinhu zvakawanda zvakaita sokugona kubika kana kuchengeta imba yakachena. Kana fungwa yake ikati mukadzi waasarudza ndiye kwaye, mukadzi wacho akakasira kuzvibata akaita munhu anohwisisa zvimwe zvinyaya zvidiki, murume anokwanisa kukwidza mukadzi wake kumuendesa pamusorosoro pevamwe vakadzi vemuraini.

Kuzoti afunge kuti mukadzi wake anonaka mukadzi anenge akaita sei? Kunaka kwemukadzi kunaka pakurhojana. Ngatitangei nokubvumirana kuti varume vakawanda vanofunga kuti hure/ small house rinonaka. Varume vakawanda vakaona shamwari yake ine hure raanogaroona, anokwanisa kumutsiura hake asi anoita majerasi chaiwo pamoyo pake. Varume vanhu vanonetsa kuhwisisa.

Kazhinji murume akatanga nyaya yemahure, anoramba achiita zvokuti chero mukada kumupopotera, kumugarisa dare, kumuramba, haaregi.  Anozoti pepu nyaya yake yatokanganisika, upenyu hwake nehwemhuri yake hwatoparara iye ava rombe chairo nengari yokushaya MANAGEMENT yechombo. pakuzosiya hure riya anenge atowana rimwe raanoti rinonaka kupfuura rokutanga.

Pane hazvanzi yangu akaitisa chimwe chimuhure mimba chichitoziva kuti ane mukadzi nevana. Mhuri yakagara dare yagarazve dare asi hapana chakabuda ipapo. Murume mukuru ane madhigirii matatu kuuya kudare kuudza vakuru kuti muhure uyu ari kuramba kurambwa saka hapana zvaanogona kuita. Vanhu vobvunza kuti unomuda here iye anoti kwete asi kukangosviba okwira mota onanga kuhure. Ipapo haana shuwa kuti mimba ndeyake. Nokuti anoziva kuti muhure anohura nevamwe varume.

Ini ndakazoti Bhudhi taurai chokwadi munodirei hure iri imi mune mukadzi, zvikahi zvinonetsa kutsanangurira munhukadzi kuti chii chinoitika kana ndina Furorenzi. Kwahi fungwa inoti usadai asi kuti ndirege zvinonetsa.  Munhu anonaka. Ndikati ko maiguru? Kwahi zvakasiyana. Ipapo maiguru munhu wakafunda chose akaita munhu ane basa riri pamusoro anoremekedzwa nevakawanda. Chimuhure chakasvika form 2 asi rhoji chinoihwisisa chose kusvika pakutenderedza fungwa dzavarume vakuru vakawanda.

Chii chaanoita muhure uyu chisingaitwi navakadzi vemumba?  Madhirezi anodhura haana. Imba huru huru haana. Mota haana. Murume wake wemumba haana. Kudzidza haana. Asi varume vanoita muraini pamba pake vachimupa mari vachibvuma kuti mimba yaanayo ndeyavo. Chii chaanoita chinonzi chinonaka uye chinonaka zvakadii?

Mukadzi wemumba zvibvunze kuti kana ndichida kuzvikombeya navanhu vanohi mahure (munhu anovata nevarume vevanhu vakawanda achipiwa mari kana kungotengegwa zvinhu) chii chandingaita pamurume wangu?

Vamwe vanoti kunaka chikapa. Chibvunza mutauri wacho kuti chikapa chii unohwa oti chikapa kunakira murume. Ipapo unobva waona kuti munhu haazivi zvaari kutaura. Ukabvunza varume kuti chavanoti kunaka chii pamukadzi unohwa nyaya dzakawanda. Ndakahwa umwe oti akambotorana nechimwe chimusikana chakashata zvokuti pameso asi chainaka zvokuti. Ndikati chaunoti kunaka chii, kwahi aah ainaka musi iwoyo. Ainaka sei? Kwahi, ha mhani maiguru munoziva kunaka imi? Ndikati bodo handizivi, nditsanangurire kuti mukadzi anonaka munhu akaita sei uye chii chaanoita chinonaka?  Inyaya inonetsa nokuti varume havawirirani pakuona kwavo.

Kana ndichitsvaka SUMMARY ndinoti kunaka kwemukadzi iATTITUDE yake kumurume wake nehama dzake, nekushamwari dzake. Apa panonetsa kukwikwidzana nehure nokuti hure hariudzwi hama neshamwari.  Kana murume ane hure haana nguva yokutaura nyaya dzomumba. Anovinga nyaya yerhoji chete opiwa rhoji yake oenda kumba kwake kune mukadzi wemumba.  Saka tasarigwa nokuongorora nyaya yerhoji chete.

Parhoji apa haisi nyaya yokungovhura makumbo murume opinza chombo iota zvaanoda zvatopera. Ita manager werhoji mumba. Imbofunga kuti varume vanodzoka kumba vachibva kumahure vangani? Chii chiri kukanganiswa nevakadzi vomumba. Basa rako kana uri MANAGER wechimwe chinhu kuziva zvinhu zvese panyaya yacho. Kana une chausingazivi enda unodzidza kuti chinoitwa sei. Atiitude yako pamurume wako inokwanisa kukukanganisira upenyu hwako.

Attitude ndeyokuti ndiwe muridzi wekurhoja kwese kunodiwa nomurume wako. Hakufaniri kuva noumwe munhu. Woita munhu anohwisisa kuti ndiwe mai mumba, ndiwe mukadzi mumba, ndiwe hure remurume muBedroom, ndiwe muchengeti wemba, ndiwe munhu asinganeti. Ndiwe munhu asinganyimi murume, ndiwe munhu anozvichengetedza pautano.

Maonero ako ndiwo anotanga kunakira murume. Kuzosvika parhoji apa watozvipira kuita chero chakadii hacho chaanoda, uye kubvunza zvese zvaanoda. Pahure murume anobhadhara saka chero chaada rinomupa. Isuwo ngatipe varume vedu. Kana ukaona achingoda zvokupinza okoira ovata, muudze iwe manager kuti akaramba achidai achabhowekana nazvo “Familiarity breeds Contempt.” Mugarise pasi umubvunze zvese zvaanoita FANTASY nazvo mufungwa dzake. Kana usingazvigoni dzidzai mese kuzviita.

Kana uchitambisa chiuno parhoji, tambisa uchiratidza kuti moyo wako uri pakugutsa murume. Garotaurira murume kuti anonaka. Garonemera murume, Kana murume akaita chinhu chinofadza mubhadhare nokumupa muviri wako afarewo.  Muchiuno chemukadzi mune simba rakawanda rinokwanisa kugadzira mwana, kufadza murume, kuuraya murume nezvigwere, kuumba upenyu hwemhuri, kufungisa murume kuti akagona pakusarudza, kushungurudza murume. Iwe sarudza chaunoda kuitira murume wako muupenyu hwenyu.

Kana ukaita murume anoshusha anogara asina mufaro, asingaratidzi kuti ane mukadzi, unokwanisa kushushikana pamoyo.Ona kuti upenyu hwako haudzikiswi pasi nomurume pazvisina maturo. Ramba wakazvipira kukwidza upenyu hwake nokumuita munhu anodadisa.

Ndinohwa vamwe  vachifunga kuti kana achipinda church nomurume wake zvinoreva kuti vane STABILITY yakawanda kupfuura vasingapindi. Kurhizena kwakadai kushaya njere. Muchurch imomo munotova nevakadzi vanoda murume wako chose. Kungoshaiwa kuti vomubata sei.  Unofanira kugara uri pamusoro pevese vanokwanisa kuonekwa nomurume wako.

Hwisisa kuti isu vakadzi tine dambudziko rokuita sokuti hatigutsi varume vedu. Tisu tinofanira kugara dare tega tichikurukura nyaya yedu kuti iri papi. Tisu tinofanira kusunga mabhandhe towedzera zviitwa varume vamboonawo kuti tiri vanhu vanoverengwa kuti tinoda varume vedu.

Summary
Zvese izvi zvapera kutaugwa, KUNAKA kwemunhu kuri mufungwa yaNyakunakigwa, asi Nyakunaka wacho ndiye anoisa fungwa iyoyo muna Nyakunakigwa. Ukataridza kuti unoda kunakira umwe wako, anonakigwa.

Murume tora nguva uri mukati, chemererawo, taura mashoko muzheve yomukadzi, udza mukadzi zvokuita, bvuma kuti ari kuita zvakanaka zvinonaka. Terera zviri kubva kumukadzi. Koira zvine RHYTHM zvisiri zvekumhanyamhanya. Garotaridza rudo pamukadzi, uchimubababata pese paunokwanisa. Ziva kuti muviri wese wemukadzi unonaka kubatwabatwa nomurume wake, kwete kungomhanyira pamberi chite.

Mukadzi  ita Attitude yekuriritira murume pane zvese zvaanoda kuti uite. Zvipe kumurume wako nomoyo wose. Purakitiza kushandisa chiuno chako. Shamwaridzana nechombo chomurume wako, wochigezesa, wochipukuta, wochitambisa, wotaura nacho, woita close relationship nacho. chemerera, kuza murume, Bvuma kuti ari kukurhoja zvakanaka. Mapedza mupe SUMMARY yezvaaita nokuti wanakigwa. Kana uchisvoda kuudza murume kuti anonaka chose, enda unotenga bhuku rako rakahi DIARY ugonyora zvese zvaanokuita nezvaunoda kumuita zuva nezuva ugosiya pachena. Hakuna munhu ane musikana/mukomana/mukadzi/murume, anokwanisa kuona DIARY yake agokwanisa kusariverenga. Hazviiti. Nyora zvese zvaanokuitira murume wako. Nyora kunaka kwake uye kuti unoziva kuti wakasarudza zvakanaka, uye kuti chero chaakukumbira uchamuitira chete. Uchaona kuti murume anoita zvido zvako zvaunonyora achiverenga usipo.

Ukaverenga tsamba dzevarume vakawanda vanonyora, unohwa vachikomburena nenyaya yokuti mukadzi anongoiswa asingafakanyiki kusvika murume apedza. Munhu hwisisa kuti murume pamwe haakuudzi hake asi haasi kufara nezviito zvako panyaya iyi. Ko chinokutadzisawo kungogamuchira murume wako pazvinhu zvamunoita mese chii? Chiuno unacho purakitiza wega.

Tenderedza fungwa dzemurume wako azive kuti mumba mune zvese zvaanoda, zvaachada, zvaanofunga kuda, zvaanohwisisa nezvaasingahwisisi kuti anozvidirei. Mukadzi ane murume anofanira kugara ari mberi kwemurume pakufunga zvinokwanisa kunaka kusvika pakuhi anonaka zviri pamusoro.

Varume ingotiwedzeraiwo nguva yokubva pakupinza kusvika pakudiridzira urume. Zvimwe zvese tinoita tega. Nguva chete veduwee, nguva. Ukaona uchitangira mukadzi ziva kuti nguva yauri kumupa ishoma. wana mukana wekuwedzera nguva iyi. Zvinoda kudzidzwa asi munhu waunotodzira paari ndiye mukadzi wako iyeye, uchipota uchibvunza kuti zvange zvichinaka here uye asvika papi, zvoitwa sei kuti awedzere kunakigwa.

Bhinzi ndiyo headquarters yekunakigwa kwemukadzi asi ndinowana tsamba dzakawandisa kubva kuvarume vanobvunza kuti bhinzi iri papi asi ipapo agara nomukadzi makore. Ko kubvunza mukadzi wako kuti bhinzi yake iripi zvinogozha pakudii pamunhu waunofongoresa uchimupinza chombo? Shamwaridzana nebhinzi yomukadzi wako uipe zita raunogarbvunza mukadzi kuti Matilda ari sei nhasi. Amuka here kana kuti ari kuda kumutsvwa here. Unona mukadzi onyemwerera nokuziva kuti wafunga bhinzi yake.

Chikapa
Verenga pakahi Chikapa.  

Ndingaziva sei kuti ndinonaka
Murume:
Murume anokwanisa kuziva kuti anonaka kana muzviito zvake panyaya yokurhojana mumba mavo mune izvi nguva zhinji:
  1. Kugara une utsanana pamuviri wako, kugeza muviri, kugeza chombo zvakanaka kusvika pakufunyungura ganda wogeza nesipo  chimusoro chechombo posaita gweme, kugeza hapwa, kugeza mazino usati wandovata nomukadzi. Utsanana chinhu chikuru chose kuvanhukadzi.
  2. Kutaridza rudo kumukadzi wake nguva zhinji uye kuudza mukadzi nyaya dzerudo
  3. Kuzivisa mukadzi wake kuti iye anoda kurhoja mukadzi zvikuru uye anonakigwa nazvo. 
  4. Kuudza mukadzi maitire aanoda uye kuti mukadzi anofanira kuit  ei kuti iye anakigwe.
  5. Kumirira mukadzi kuti anyorove asati apinza chombo
  6. Kuziva nhengo dzemuviri wemukadzi dzinonakira mukadzi kana murume achidzibata nokudzikisa kana kunanzva, dzakaita se magaro, mazamu, kumeso, zvidya, matinji, dumbu, kuseri kwemabvi, muromo.
  7. Kukumbira mukadzi PERMISSION yokupinza kana waziva kuti mukadzi anyorova.
  8. Kuziva nguva inoda mukadzi kurhojewa zvine simba uye kurhojewa zvekunyemudza , zvichibva nokuti mukadzi ane zemo rakaita sei. Pane nguva inoti munhukadzi anoda kurhojewa zvine simba uye zvinomukasirisa kubva zemo.
  9. Kuhwisisa kuti nguva yechombo mukati memukadzi ngaive refu chose kana pasina chamuri kumhanyira. Pfuura maminitsi gumi uchikoira mukadzi wako . Kumirira mukadzi apedze murume asati adiridzira. Kuti paya mukadzi atanga kuita ORGasm asi asati aipedza murume owedzera kukoira odiridzira mukadzi ari pakati pezvake. Zvinonaka zvokuti.
  10. Kukoira zvakasiyanasiyana, kukurungira, kuisa simba, kukoira zvinyoro, kukoira zvakadzika, kukoira pedopedo pemuromo wechitubu. Zvese izvi muRhoji  imwe chete.
  11. Kuwana nguva yokutaura nomukadzi mapedza, makambundikirana musati mabatwa nehope, wommudza kuti unomuda uye kuti anonaka. 


Mukadzi
Kuti mukadzi azive kuti anonaka pane zvakawanda zvaanofanira kuziva kuti ari kuita mumba make.
  1. Kuva noutsanana pamuviri wake zvoreva kuti anogarogeza zvakanaka nokushandisawo zvinonhuwira kuti muviri wake usaita hwema hwakaipa. Kugeza pamberi  zvakanaka, zvikuru pakapoteredza bhinzi panokwanisa kuita gweme, zvikuru kana ganda rakafukidza bhinzi riri hombe. Geza ne vinegar kamwe pavhiki kuti usaita hwema. Kugeza hapwa, kusaita vhudzi rine hwema. Utsanana pamukadzi chinhu chikuru chose.
  2. Kuda murume wake uye kuratidza kuda murume nguva zhinji.
  3. Kuratidza kufarira chombo chomurume. Varume vanoita COMPLEX pachombo saka ukarerusa hana yomurume pachombo chake zvinobatsira.
  4. Kuudza murume kana une zemo.
  5. Kufarira kutamba nechombo, kuchipurudzira, kuchibatabata, kuvhura zipi nokuchibudisa mubhurugwa remurume.
  6. Kuudza murume kana wanyorova woda kupinzwa chombo.
  7. Kuudza murume maitire auri kuda kana kubvunza murume kuti ari kuda maitire api. Kuita zvaataura.
  8. Kuchemerera, kubatirira, kudembademba zvinoratidza kuti uri kuhwa mafambire echombo mukati mako.
  9. Kushandisa chiuno ( chikapa) zvinotaridza kuti uri kunakigwa nechombo, uye kutungamirira murume pasipidhi yaunoda.
  10. Kushinya chombo nemasuru yechitubu kuti chombo chese chihwe kukwizirigwa pakupinda nokubuda.
  11. Kubata murume kuti kwii nokumusunga nemakumbo paanotanga kudiridzira kuti asiye zvese mukati mechitubu, kukama chombo nemasuru yechitubu paanodiridzira.
  12. Kuudza murume manakire azvaita nokutenda kuti anoda kukurhoja uye kuti asiira papi kuti kana moitazve azive zvokuiwedzera. 


Utsanana pamuri mese chinhu chikuru pakunakigwa. Vakadzi vakawanda vanokomburena kuti varume vavo havadi kugeza, zvinova zvinoderedza kuda kukisana navo. Gezai mazino.

Varumewo vanokomburena kuti pamberi pemukadzi pane hwema. Hwema hunoitiswa nemaBACTERIA. Anourawa neVINEGAR asi mukati mechitubu hamuiti hwema kana musina chigwere. Munongoita hwemakadzi chete hunova hunoitisa varume zemo. Usaisa chinhu mukati mechitubu nokuti unokanganisa BALANCE irimo. Chombo chete ndicho chinopindamo uye ma Tampon kana uri kumwedzi.


Udzai Vamwe!!!!!
 zvinonaka
kunakirana pabonde
kugona kubata murume pabonde

Nyaya yokuwacha mabhurugwa


Kana uri mukomana akazvarigwa muZimbabwe, zvinoita kuti uve unofunga kuti vanhukadzi muZimbabwe havapfeki mabhurugwa. Izvi zvinoitiswa nokuti unokwanisa kusvika makore makumi maviri usina kumboona bhurugwa rehama dzako dzaunogara nadzo muimba imwe chete, Mbuya, Mai, hazvanzi, maiguru, mainini, vatete, etc.

Nyaya inenge iripo ndeyokuti hauhwisis kuti sei vachinowacha dzimwe nhumbi dzavo asi haumbooni vachiwacha mabhurugwa avo. Zvinofamba sei? Takasvika sei pakadai?

Pamafungire edu isu, ukaona bhurugwa romukadzi watoona chitubu chake, nokuti bhurugwa iroro rinenge rakatomboswere rakazemberana nechitubu chake kwemazuva akawanda muupenyu hwaro. Saka murume ariona atoona chitubu charinofukidza. Hino pane zvitubu zvausingabvumigwi uona pavanhu vemhuri saka vanhu ava ndivo vanokudzivirira kuona mabhurugwa avo. Unotoona kuti mukadzi akaunganidza nhumbi dzokuaina, ukatari padziri hauwani mabhurugwa ake.  

Ngatichitarisazve kuti zvinofamba sei. Kana uri kumusha unowana kuti vakadzi vakawanda vanonogeza usiku kuti padsambowana munhu anodongorera vachigeza. Tiri kutaura vanhu vanogara kumusha kusina shawa kana imba yokugezera. Vanotanmga vadziisa mvura vozoidira mubhavhu vogeza. Munhu anogeza akamira azhe pebhavhu rine mvura, achhita mvura yokukupa namaoko achikupira pamuviri wake. Mamwa anombogara pasi okwesha muviri ne sipanji kana nebwe rokukweshesa. Ozokupazve mvura achisuka svina iya yaakwesha. Apedza kudaro anopatsanusa makumbo ogeza pachitubu. Pedzezvo anopukuta netawero opfeka dhirezi rake oenda kumba yokuvata.

Kazhinji pakugeza apa ndipo paanowacha bhurugwa rake rakasviba, obva arisvina kusvika rava nemvura shomashoma oenda naro muimba yake yokuvata orinikamo usiku hwese kusvika paanomuka. Kuseni anopfeka rimwe rakaoma oenda kundosakura mumunda. Pamwe haatopfeki bhurugwa kana ane zidhirezi rakareba rinodzivirira zvinoda kudzivirigwa.

Awa ndiwo maitire avanhu kumusha. Chinozonetsa ndechokuti kana uri kutawendi muchingova ne ONE ROOM. Unoona vakadzi vakuru vachinika mabhurugwa avo mutoireti kana vana vavata, pedzezvo vomukira vana vasati vamuka vobvisa mabhurugwa mutoireti voisa pamwe pakavanda.

Hazviiti kuti vanhu mungoona bhurugwa romukadzi wechiZImba rakayanikwa pawaya pazhe. Kuzvifumura ikoko. Hino kana tauya kuno kuDhayasipora, tinowana vakadzi vekuno vachitonika zvavo mabhurugwa avo pazhe vachiita sokuti hapana chakaipa, asi zve tinoona kuti varume vavakavakidzana navo vanoita rute nazvo. Murume wechirugu akaona bhurugwa romukadzi wepaNEXT DOOR anotanga kutofunga zvakaipa pamukadzi wacho, zvikuru kana akanaka mukadzi wacho. Vamwe vanotoba mabhurugwa acho hameno kuti anenge achiridii.

Saka izvi zvinoratidza kuti mafungire edu ndiwo ari nani. Bhurugwa romukadzi, nedzimwe hembhe dzomukati dzakaita se Bhuraziye yokubata mazamu, hadzifaniri kungoita sedzimwe nhumbi dzikupfeka. Munhu chengeta unhu hwako. Kuno tinoshandisa michini yokuwacha asi kana pane vashanyi vechirume, usangosiya bhurugwa rako riri pane dzimwe hembhe dzakasviba, kana kurinika pawaya pazhe panopfuura navanhu kana panookwa nevavakidzani. Hazvina unhu.

Ndakambohwa vamwe varume kubasa vachitaura vasingazivi kuti vari kuhwikwa. Umwe wacho aiti anofarira kunhuwidza bhurugwa remunhukadzi. Kwahi rinomuitisa zemo. Ini ndokuyeuka zvaiita bhuru redu kana rada mhou, raisvika rofembedza chitubu chemhou iya roita sokuteya mhepo, rofembedza futi kusvika rawana RESULT yariri kuda robva ratokwira mhou iya. Zvino ndizvo zvaitaugwa nomurume uyu, asi iye anofembedza bhurugwa. Hameno kuti anenge ariwana kupi.

Kozoita vamwe varume vechirungu vanofarira kupfeka mabhurugwa echikadzi. Kana kuchitonhora vamwe varume vanopfeka maTIGHTS evakadzi futi. Handifungi kuti zvakadai zviriko kuZimbabwe asi ukada kufunga matangire azvo kuno unoona kuti uripo musi wazvichatanga kweduwo.

Musarega vanhu vachiba mabhurugwa enyu. Hazvifaniri kuti bhurugwa rako rizowanikwa riri mumota yanhingi iwe usingatomuzivi munhu wacho.

Udzai Vamwe!!!

Friday, 20 July 2012

Kugera pamberi


Mazuvano vashoma vasikana vasingageri pamberi. Mubvunzo ndewekungoti munhu ogera zvokusiya vhudzi riri doko kana kuti kutobvisa zvachose. Hameno kuti moti chii nazvo imi.

Pano ndoda kutsanangura kuti panogegwa sei. Regai ndimbonounganidza zvigero zvacho ndigotsanangura ndichizviona. Vasingadi kugera motiudzawo kuti munozviita sei. KuchiISLAM mukadzi wese haabvumigwi kuita vhudzi pamberi kana muhapwa. Ikozvino ndoona kuti nyika zhinji dzava pachiISLAM panyaya iyi.  Vashoma vanhukadzi vanogara nevhudzi pamberi mazuvano. Kune varume vakawandawo vanogera pamberi pavo.

Timbotaura kuti vhudzi pamberi rakaipei uye rinoita basa rei?
Zvinonetsa kuhwisisa kuti sei vanhu vakatanga kugera vhudzi repamberi asi ukatarisa HISTORY yomunhu unoona kuti varume ndivo vane vhudzi mumuviri kuphuura vakadzi. Vakadziwo voita vhudzi mumusoro kupfuura varume. Murume unowanika achitova nevhudzi kubva pamberi kuupfuura paguvhu, abva aia rime futi pachifuva. Hino mukatdzi ukaita vhudzi pachifuva zvingatoshura. Chifuva chomukadzi chine ganda akatsetseka chose uye rakanyorovera Ndohwa varume vachitaura kuti zamu rinovayeuchidza mai vavo.

Isu tiri kuPRIMARY SCHOOL taiti tichibva kuchikoro, vakomana vombomira pane jecha, voumba zvikomo zvejecha voti ndiwo mazamu aanamai vavo. Vobvunzana kuti ndiani akashinga zvokuda kuputsa zamu ramai nhingi? Waizooona umwe adherera ondoputsa zamu ramai vewaanodherera, zvibhakera zvotanga ipapo kwahi waputsa zamu ramai vangu. Nanhasiwo umwe murume akabata zamu remukadzi asiri wake, zvibhakera hazvitani kuitika.

Pamazamu emukadzi panhu pakakosha. Kuti pazoita vhudzi hazvinganaki. Saka mukadzi anomera vhudzi ipapo anotoenda kuchipatara kundokomburena kuita sokuti ane chigwere. Asi murume anotohi ane ropa rechirume chairo kana ane vhudzi pachifuva.

Kuti mukadzi aite vhudzi padumbu futi hazviiti. Vakadzi vakawanda kana atoita vhudzi pamberi anongoita chakaita chibhibho pano amusoro pebhonzo riri pamusoro pebhinzi.Kana odzira zasi anongoita tuvhudzi twakatarangana. Vhudzi rancho harikuri zvakawanda kana karisiya rakadaro.  Sesu vamwe takanonoka kuziva varume taingorega zvakadaro nokuti hapana aizviona.

Kozoti watanga kugara nomurume, unoona murume achicherekedza kuti chisango ichi chabva nepi, Asi iye ipapo and rake zi RAIN FOREST chairo rekuAMAZON. Ndipo ndakamuka umwe musi ndikamubvunza kuti akambogera shamwari dzake misoro here, iye ndokuti akagera vari kuBOARDING SCHOOL. Ndikati hekanhi waro. Nyaya ndipo payakatangira pa.  

Vamwe vanofunga kuto vhudzi pamberi nomuhapwa rakaitigwa kuti ribate zvimwe zvimunhuwi zvinoitika pavanhu kuti vawanikwa vachikwevera varume kwavari (ATTRACTION)  Zvimunhuwi izvi zvinohi PHEROMONES zvinongokweva zvoga iwe muridzi usingatombozivi kuti munhu agara pedo newe mubhazi ava kutoda kukunyenga.

Kozoti vamwewo vanofunga kuti vhudzi rapamberi rakaitigwa kubata guruva ringangopinda pachitubu. Asi ukanyatsotarisa unoona kuti vhudzi rakatenderedza chitubu chaicho ishoma zhinji riri kure nechitubu rakatenderedza bhinzi.

Kozorizve vamwe vanoti kudzivirira kusvuuka panyama dzomuviri dzinokwizana kana uchifamba kana kuita mabasa ako. Somuhapwa nopakati pemakumbo. Ini ndoona sokuti vhudzi rinodzivirira kusvuuka muchorhojana.  

Rinobvisigwei?
Saka nyaya iripo chaiyo ndeyokuti hatizivi kuti vhudzi iri nderei. Chatinoziva ndechokuti varume vanoda kuona pamberi pasina chakafukidzapo kuti abve aita zemo nokutarisa. Isuwo vakadzi tinoda kutariswa nevarume vedu. Saka mazuvano kune nyaya yefashoni yokuti pamberi nomuhapwa hapaitwi vhudzi.

Rinobviswa sei?
Pane mabvisire akawanda. Panoti chigero chemaoko chaunokwanisa kugera nacho kana uchingoda kuti vhudzi rivepo haro asi riri doko. Chinonetsa panhu apa ndechokuti kugera kwacho kunoda maoko mana chaiwo, maviri akabata pamberi maviri achigera.

Unokwanisazve kushevha sezvinoita murume pachirebvu chake. Unokwanisa kundotenga muchini wekushevha wemaooko, wotora chidhishi chemvura woisa pedo. Wotorazve girazi rinohi chioniso worimisa pakanaka pokuti ugoona pamberi pako zvinongoitawo murume kana achishevha chirebvu. Wadaro, chibvisa bhurugwa ugare pasi paunozviona muMIRROR iya. wotora SHAVING CREAM wozora pamberi, wobva watanga kushevha. Zvinotora nguva nokuti matinji anonetsa kuashevha kuzhe kwawo kune vhudzi rakatarangana. Zvikuru kana wakadhonza matinji.  Wapedza, unokwanisa kungonogera zvatopera, asi uchavaviwa zvokuda kukwenya kakawanda. Kuti pasanyanyovava, kana wapedza, zora mentholated spirits kana vinegar. Inokusosona hayo asi inokubatsira pakuvava.

Unokwanisazve kushevha nechimuchini chinohi SHAVER chemagetsi kana mabhatiri. Ichi hachidi kuti ushandise kirimu. Unongoshevha pakaoma. Asi chinotinhira chichinyerekedza zvokuti unokwanisa kuzopedza panhu patozvimbirira kuita soune zemo. Kana pakatozvimbirira kudai zvinoita nyore kushevha.

Unokwansazve kundobviswa kumwe kunohi kunoitwa zve WAX. Vanoita zvokudzura vhudzi zvinotogwadza asi kana waitwa unombogara nguva usina vhudzi pamberi.  Awa ndiwo ma Bhabha shop epamberi. Kumwe vanozviita vacho vakadzi chete, asi ndakambohwa kuti ane shopu yaiva nomurume aizviita asi ainzi ingochani asinei nokuona pamberi pomukadzi saka vakawanda vaitoendako vachiti anoziva zvaari kuita.

Waribvisa unoriisepi?
Vanhu vokunyika yedu vane zvima SUPERSTITION zvavo panyaya dzevhudzi repamberi. Vanofunga kuti rinokwanisa kushandiswa pamishonga. Saka unoona kana munhu azvigera ofunga kuti vhudzi iri hariiswi mubhini. Kana zvichikunetsa tora vhudzi rako uise muTOILET ROLL wobva waisa mutoiret woflasha roenda kudhamhu resuweji. Ikoko kunonhuwa zvokuti varoi hakuna. Kana usingadi kudaro kanda mumoto ritsve, asi iwe ndiwe uchanhuwigwa. Kana uri kuDHAYASIPORA, varoi hameno kuti variko here uye kuti vangada vhudzi rako repamberi here. 

Mogarotarisa ndichiwedzera topic netopic panyaya iyi nokuti mudzimba umu manetsa, Varume vanoda kugera vhudzi redu. Isu pamwe hatidi naro pamwe tinoda murume agere asi iye haadi kuita BHABHA wemukadzi wake. Pamwe tinoda kuzvigera. Wotanga uchigera, wopedzisira wava kuita zvimwe ipapo. Nyaya iyoyi yakambobvepi, zvaita sei? Mohamadhi uyu mudhara wakatanga zvechi  Iziramu, kwahi aida zvivana zvidiki. Mukadzi wake wekupedzisira ange ane makore 9, iye atove mudhara. Saka musikana uyu ange asina vhudzi pamberi. 

Nhasi uno vakadzi vese vechiARABHU havabvumigwi kuva nevhudzi pamberi kana muhapwa. varume vavo vanoti zvinovasemesa. Ukabvunza kuti chii chinosemesa pavhudzi remukadzi pamberi asi varume vachitotukwa kana vabvisa ndebvu, hauwani mhinduro yakanaka asi kungoti Mohamadhi ndizvo zvaakataura. Chimwana ichocho che 9 years chakaparira mhomho yese yeIziramu. Asi ichowo chakaoneswa ndondo. Mudhara we 54 years achingochibata chibharo. 

Ndipo panobva nyaya iyi here, kuti varume vanoda pakaita sepechimwana chidiki, kana kuti pane zvimwe? isu mazuvano sei tichigera isu tisiri vechi Mohamadhi.? 

Imbofungai nazvo tione nokuti inotaugwa mudzimba nomumabhawa. Ndakahwa umwe woti haadi mukadzi ane vhudzi pamberi nokuti anokwanisa kumucheka chombo. Ini ndokubvunza kuti wakambohwa munhu akaenda kuchipatara achiti achekwa chombo nevhudzi repamberi here? Zvikahi bodo.  Ini ndokurondedzera kuti vanhukadzi vakawanda havameri vhudzi padhuze neburi rechitubu. Vhudzi rinomera kuno kumusoro kwakatenderedza bhinzi kunohi MOUNT. Saka hazviiti kuti kana vhudzi rako dziri reza richeke chombo chomurume pakupinzana nokuti kunopinzwa kunenge kune tuvhudzi twakatarangana. Saka iyo haisi RHIZENI yakanaka. 

Umwezve kwahi zvine HYGENE kugera. HYGENE yacho inobva papi? Chii chingashaisa HYGENE pavhudzi? Ko mumusoro vhudzi riirimo wani rakatowandisa asi haumbohwi vanhu vachiti gerai muite hygene. Ko varume havadiwo hygene yacho here? Isu tisu tinei chinoda hygene kupfuura varume? Sakazvehaisi rhizeni ine musoro. 

Zvinhu zvakadai zvinongotaugwa nevarume vanoda kuti tigere vhudzi asi chokwadi ndechokuti hakuna munhu akambokuvadzwa nevhudzi refu pamberi. Chero muvarungu vane rakarebesa havakuvadzani. Ukahwa murume achikuudza izvi muudze kuti ari kutaura nhema chaidzo dzaakahwa nedzimwe pwere vachifudza mombe. Variko vakadzi vasingatombogeri vhudzi vane RAIN FOREST chaiyo zasi asi anongovhurira murume wake achingorhojewa sezvatinongoita isu pasina kana dambudziko. 

Varume vedu vhudzi zasi havadi saka mutauro wavapo mazuvano unoita kuti kana une vhudzi ubve waruza konifidhenzi naro wongopedzisira wagera. Ivo varume vacho havaudzani kuti vhudzi zasi rakaipei asi kungoti rakaipa. Kuda rhizeni yacho iripo ndeyokuti murume anoda kuona mamirire akata zvinhu zasi kwemukadzi wake. 

Ku Europe kune belief yokuti varume vakawanda vanofarira kuvata nezvanana. Mukadzi mukuru akagera pamberi kana kuveura, panobva pangoita sepechimwana saka murume oita fungwa yokuti mukadzi mwana mudiki. Kana zvirizvo, zvinoreva kuti kuveura pamberi kudzidzisa murume kufunga nezvokuvata nezvivana zvidiki. 

STYLING:
Kozoita nyaya ye STYLING pavhudzi rezasi. Kune ma hair styles evhudzi rezasi akatowanda ekuti kana wada kuzviita unotokwanisa kuenda kuna bhabha wacho anokuitira style yaunoda.  Wadaro wononyemudza murume wako woona kuti anoti kudii.

Ini hangu sokuona kwangu vhudzi diki or kushevha ndizvo chete. Kana murume wako achifarira kumbosvitsa rurimi pabhinzi yako bheta kugara usina hako vhudzi zvachose.

Ndohwa vakadzi vakawanda vachikomburena kuti varume vavo havatombotarisi zasi saka murume anenge asingatombozivi kuti mukadzi wake ane vhudzi here kana kwate. Kana une murume wakadai uri munhu anofanira kuhwigwa tsitsi nokuti murume wako haatombozivi kuti mukadzi anotambwa naye, achimbopinzwawo mumwe nokusekenyedzwa pamberi. Nokurhojewawo masikati. Dzidzisa murume kujaira kutamba nepanhu apa kwete kungomirira kupinza chombo murima sezvinoita mapete.


Varume gerai nokushevha vakadzi venyu. zvinofadza chose uye zvinoitisa zemo kwamuri mese. 

UDZAI VAMWE!!!!!!