Sunday, 19 May 2013

Zvinotarisigwa kana maroorana


Zvinotarisirwa pavanhu vakaroorana
Panyaya dzese dzandakanyora pano, nyaya huru inodiwa kuhwisisa kuti kana makaroorana, chii chaunofanira iwe kuita kuti mugare makaroorana? Chii chinofanira kuitwa noumwe wako kuti mugare makaroorana?  Chii chaminofanira kuita mese kuti mugare makaroorana?  Kune vanhu vakawanda vanoona sokuti muchato unongozvichengeta wega imi pasina zvamuri kuita. Kune michato yakawanda ine vanhu vanogara vese asi pasina anonyatsoziva kuti vanogarirei vese.

Mazuvano nyika dzakawanda dzava nenhamo dzange dzisiko kare. Tine vanhu vakakura vari nherera vakawandisa. Vamwe vavo vanoona sokuti kuwanikwa kwakafanana nokupinda mu REFUGEE CAMP ye United Nations inoti kana wapinda wasvika parubatsiro Zvinozoitika ipapo yave nhamo youmwevo. Yako yapera. Koitazve varume vakakurawo vasina anopa mazano vanongoti chombo chikamira kwahi ndave murume saka ndoda mukadzi. Musi waanongovhurigwa makumbo nechimuhure chemuraini oda kutonotsvaka mombe dzokuroora nadzo. Iri idambudziko guru chose mudzimba umu nokuti vakawanda vakaroorana havatombozivi kuti vari kuitei mumuchato wavo.

Kuvata mese kwasviba handiwo muchato. Muchato chinhu chikuru chose chinoda kuti kana unacho uchihwise uye uzive kuti mafambire acho ari papi. Ukasahwisisa muchato wako unoita upenyu hune matamudziko akawandisa anosvika kuvana vako nehama dzako neshamwari dzako, zvese nevavengi vako. Munhu wawakaroorana naye anokwanisa kunofira kujeri akuuraya kana kukukuvadza.

Nyaya yandinoda kuronda pano ndeyokuti chii chinotarisigwa kuti vanhu vakaroorana vahwisise? Zvinobatsira chii uye chii chinokwanisa kuitika kana usina kuhwisisa kana kuti usingadi kuzvitevera? Vanhu vanoshanda nemitemo isina kunyogwa pasi inohi CUSTOMS pachirungu. Mitemo iyi mazuvano yonetsa kuidzidza nokuti vanhu vakawanda vanogarofamba vachiinda kure kune mitemo yakasiyana neyekwedu. Kozotizve vamwe vano kura vasina anodzidzisa.


Zvinotarisigwa kuti murume aite mumuchato
Pamurairo wechivanhu newenyika dzakawanda, murume ndiye mukuru wemusha. Basa iri ibasa guru chose zvokuti murume akasariwhisisa, musha unokwanisa kuparara. Basa iri rinotanga musi wemuchato richipera musi unofa murume. Harisi basa rokuti unokwanisa kupa umwe munu kuti ariite. Harisi basa rokuti unokwanisa kuti waRHIZAINA wobva wonogara seusiri mushandi waro. Ndereupenyu hwese.

Zvinotarisigwa kuti murume ange akadzidziswa kuriritira mhuri noumwe mukuru wemhuri yake sokuti babamunini kana sekuru. Hazviwanzoitika kuti adzidziswe nababa vake asi kuti anogaroona maitire anoita baba vake iye odzidzapo. Maitire anoita baba vemurume ndiwo anodzidzisa murume uyu. Tichitarisa varume vakawanda maitire avo tinoona kuti kazhinji murume anohura, anoba, anogarorova mukadzi nevana, anodhakwa achikangamwa kuuya kumba, anoita zvemakasi, kazhinji baba vake ndizvo zvaakakura achiona vachiita. Koitazve vamwe varume vanokura vasina madzibaba. Murume akadai anokwanisa kureriwa namai vari vega kana kuti vachibatsigwa nehamarume kana kuti vachigaroita zvikomba zvinouya zvogara nguva shoma zvopfuura. Mwanakomana pakadai anokwasa kudzidza zvakawanda agotora nzira yakanaka kana kuti yakashata zvichibva nokuti aona upenyu sei. Hachisi chinhu chakanakira mwanakomana kuti aite mai vega pamusha. Anofosiwa kukasira kukura kuda kuita murume nengari yokuti paari kukurira hapana murume mukuru.

Toonazve kuti murume anoita zvinohi zvakanaka, kazhinji baba vake munhu akadzikama. Saka kana tichitaura nenyaya yezvinotarisigwa kuti murume akaroora ange achiita, hatikwanisi kusiya vamwe vanhu vemhuri vanova ndivo vakakwanisa kana kutadza kuraira murume achiri mwana mudiki.

Murume anotarisigwa kuva munhu ane moyo murefu, anoti pakaita nyaya haangodzvamuki otanga kupopota nokutaura sebenzi, asi anotanga aterera musoro wenyaya, odzikisa hana dzavaya vari kuitaura, ozotonga nyaya kana vanhu vese vahwisisa kuti chii chiri kuitika. Murume ane moyo murefu munhu anogona kuronga mhuri yake zvine musoro.

Zvinotarisigwa kuti murume aroora ane rudo kumukadzi wake. Rudo chinhu chinonetsa kutsanangura asi chinoonekwa nemaitire emurume. Zviri nyore kuona kuti murume anofungei pamusoro pemukadzi wake nokuda kwemaitire ake. Mukadzi wemurume ane rudo anoziva ega kuti anodiwa uye anoonekwa kuti haasi munhu anofunganya. Rudo gunoonekwa nezvinhu zvidikidiki zvinoitwa nomurume. Kuterera zvinotaugwa nomukadzi wake, kuita nyaya nomukadzi wake, kuunzira mukadzi zvinhu pamwe zvisina maturo asi zvinoratidza kuti ange achifunga mukadzi wake.

Murume anotarisigwa kuti anochengeta mukadzi wake kubva pazvinhu zvinokuvadza, zvakaita sokuti


  • Haafaniri kudhiraivha mota sebenzi,
  • Haafaniri kupfuura nomunzvimbo dzisina kuvimbika,
  • Haafaniri kuva mbavha kana kuita zvimwe zvinosungisa.
  • Haaunzi zvigwere kumba, zvikuru zvechihure
  • Haanyei mukadzi wake kune vamwe vanhu zvingaitisa kuti vafunge kuti mukadzi wake munhu asina unhu.
  • Haafaniri kutambisa mari mhuri isina mari yakakwana


Murume anotarisigwa kuti anogarorhoja mukadzi wake zvinogutsa. Nyaya yokugutsa mukadzi iyi inyaya inonetsa varume vakawanda nokuti zvinovanetsa kuhwisisa kuti chinhu chikuru kuti mukadzi agute. Vanofunga kuti kupinzwa chombo kashanu pazuva ndizvo zvinogutsa. Nyaya yema RHOUNDHI inoudzwa vakomana kubva vachiri vadiki, vokura vachifunga kuti ndizvo zvinonakira vakadzi. Kuti aroora akaona mukadzi achiita sokuti haasi kunakigwa obva afunga kuti mukadzi ndiye ane dambudziko. Kukura une amwe mafungire wozoudzwa wakura kuti handizvo, chinhu chinonetsa kugadzirisa. Saka pano ngatingobvumirana kuti murume anenge achitarisigwa kuti azame kugutsa. Murume anotarisigwa kuti akwanise kubvunza mukadzi wake kuti oita sei kana mukadzi asingaguti.

Tora nguva uri mukati memukadzi wako. Ndiwo mushonga wekugutsa pa RHAUNDHI yokutanga iyoyo. Kana mozomutsirana zvimwe zvava zvenyu izvo asi mese mamboguta. 10-15 minutes uri mukati uchipota uchikoira, pamwe uchizorora, pamwe uchirezva mukadzi wako. ROUND 1 iyoyo.

Vakawanda vanotarisira murume kuti ave iye anokumbira mukadzi kuti vavatane. Murume ndiye anotanga kutaridza kuti ari kuda muviri wemukadzi wake. Izvi zvinoitisa kuti mukadzi ahwe kudiwa nomurume. Tinoziva kuti mazuvano tinokurudzira vakadzi kusununguka zvokuudza varume asi murume munyika dzese anoonekwa kuti ndiye anokwezva mukadzi. Murume ngaasaitawo mazuva maviri asina kumbokumbira mukadzi kuti avhure makumbo. Kubva pakutanga maroorana kana muchikoshesa kuvatana, chitangai kuita zvamunofunga kuti ndizvo zvamuchada mava nemakore 45. kaviri pazuva, kamwe pazuva, katatu pavhiki. whatever. Tauriranai asi murume ngaagare ataura zvaanoda, Kana achida kuita pakati peusiku ngaataure mukadzi agare aziva kukasira kunovata.

Murume anotarisigwa kuti akasire kukwanisa kutaura nemukadzi wake panyaya dzese dzoupenyu hwavo. Ichi ndicho chikuru pane zvese chinoita kuti muchato ubudirire kana kufa. Murume asingahwisisi nyaya yokutaurirana makasununguka murume asingafaniri kuroora.

Murume anotarisigwa kuunza mari mumba. Hazvirevi kuti anofanira kushandira umwe munhu, asi kuti anoshanda, pamwe anozvishandira, achiunza mari mumba. Vashoma varume vanotarisigwa kuti vagare pamba pasina zvavari kuita panyaya dzemabasa, asi kana wasiigwa vana mukadzi ashaika, zvinokwanisika kuti unomboita nguva uchirera vana vako wega usingashandi.

Murume anotarisigwa kuti anoremekedza hama dzake nedzomukadzi wake. Nyaya inoitika pamusha ndeyekuti mukadzi anosvika ari munhu ane tariro yokuvaka musha nomurume wake. Pasina kupera nguva murume asina kuchenjera anoudza mukadzi kuti nhingi wakati, nhingi wakati, nhingi wakati, kuri kureva hama dzake dzange dzisingazikamwi nomukadzi. Zvadaro mukadzi anoita ATTITUDE kuvanhu ava, achifunga kuti ari kusapota murume wake. Mhuri yoita vanhu vanopokana zvabva kumurume uyu. Murume akadai anofanira kuudzwa kuti hama hadzisi dzokudaro. Murume anotarisigwa kuti arege mukadzi azvisarudzire maonere aanoita hama dzemurume. Kana achiita ATTITUDE oita ega pasina anomubatsira. Ukaona mukadzi wako achivenga hama dzako ziva kuti ndiwe wakamudzidzisa kudaro.

Murume anotarisigwa kudya zvabikwa nemukadzi wake. Kana usingazvifariri, idya chete musi wekutanga asi muudze kuti haunyanyi kuzvifarira azive kusazozvibikazve. Anoudza mukadzi wake zvokudya zvaanonyanyofarira. Anobatsira mukadzi kuronga BALANCED DIET yemumba. Vamwe vakadzi havana kudzidza saka vanoda kubatsigwa kuronga.

Murume anotarisigwa kuti agare ari munhu akagwinya muviri, anoratidza kuti ane simba. Mukadzi akamutarisa anoona kuti murume wake munhu akagwinya anomudzivirira kune zvinokuvadza. Nyoka ikapinda mumba murume oiuraya, mbavha ikapaza imba murume oirova. mukadzi akatukwa muraini, murume onotonga nyaya kudzivirira zvakaipa kumukadzi wake.

Murume anotarisigwa kuti agadziridze kuvakwa kweimba. Kana chimwe chikavhunika murume anogadzira. Mota ikafa, murume anoronga kuti mukadzi aende kumba iye osara nemota kusvika yazouya kumba.

Murume anotarisigwa kuti atange nyaya dzemimba nomukadzi wake kuti vabvumirane kuronga mhuri yavo. Murume ndiye anotaura nyaya dzemari pamusha kuti yakwana zvokuti vachiita mwana here. Kana isina kukwana vobvumirana kuti inokwana riini uye kuti isati yakwana vanoshandisa chii kuti mukadzi asaita mimba. Kune vakadzi vakawanda vanongoti kuwanikwa nhasi mangwana ototsvaka kuti mimba oiita sei, ipapo mari yokuriritira mwana havana. Uku kuwedzera dambudziko pane rimwe. Vanhu bvumiranai kuti nguva yakwana here kana kuti haina. Kana isina shandisai zvokudzivirira mimba. Kondhomu rinobhohwa kushandisa asi kana uchiziva kuti nguva yaro ichaita shoma hazvinyanyi kubhowa.

Murume anotarisigwa kuhwisisa kuti kubata mukadzi chibharo handizvo. Kana uchiona kuti mukadzi wako haasi kuda zvinoreva kuti pane nyaya inoda kugadziriswa. Gadzirisa nyaya iyi mudzokere pakudanana. Kwezva mukadzi wako abve pakutsamwa kwaanako. Usafungazve kuti kana mukadzi abvuma kuvhura makumbo zvinoreva kuti nyaya yaange akatsamwa nayo yapera. Haina kupera. Mapedza kuisana tora mukadzi wako mumaoko womukwevera kwauri mese mohwa kudziya kwemiviri yenyu. Makadaro chiudza mukadzi kuti unoda mutaure nyaya yenyu ipere. Mataura munokwanisazve kuisana mozobatwa henyu nehope. Mangwana momuka pasina nyaya.

Murume anotarisigwa kuti asahura nevamwe vakadzi. Hakuna munhu asingazivi kuti kuhura kuita sei. Murume kutuma mukadzi wako kuti anohurira mari kuti muwane zvokudya nezvokupfeka chinhu chinohi pachirungu ABOMINATION. Hazvibvumigwi. 

Murume ngaabatsire mukadzi wake pamabasa emumba, kuti mukadzi pakunovata asava munhu akaneta. Zvikuru kana mukadzi achishanda kubasa. Mabasa emumba anonetesa nengari yokuti haaperi uye anoitwa zuva nezuva chero WEEKEND ikasvika mabasa emumba haaperi. Hino murume anenge achida kuti monovata mukadzi ange ane simba muchiuno, asi kana wamurega achingoshanda manheru ese simba haasisina saka zvimwe zvinhu zvinokunakira iye haachina hanya nazvo.

Murume anofanira kuratidza kuti PRIORITY yake youpenyu iri pamukadzi wake nevana vake. Murume haafaniri kubvuma kureregwa vana vake kana kuriritirigwa vana vake noumwe murume. Hazvina basa kuti ihama yako here kana kwete. Kana usina kuremara zvokutadza kushanda, wana mukana wekutsvaka mari yokurera vana vako wega. Garotsvaka mazano kubva kune vamwe. Gadzira mari wega nomukadzi wako. Ita kuti vana vako vakupe rukudzo sababa, kwete kungohi baba nokuti ndiwe wakavazvarisa.

Murume ngaave munhu akatsiga zvokuti akahwa chinhu chinotyisa haapapariki nacho achiudza nyika yese. Anotanga afunga nacho ozotaura apedza kuongorora zvakanaka. Pamwe anozotaura nezvacho mangwana ambovata achifunga kuti zvoitwa sei.

Murume haapopotedzani nomukadzi vana vachizvihwa chero nyaya yebopoto yakakura zvakadii. Vana ngavakure vachifunga kuti hapana dambudziko pakati pamai nababa. Vana vanongohwa muchisetsana chete kwete kutukana.

Zvinotarisigwa kuti mukadzi aite mumuchato
Mukadzi awanikwa anotarisigwa kuva munhu ava noruzivo gokuti musha unovakwa sei. Munhu svikawo pamusha wemurume uchitaridza kutsiga, nounhu. Chinhu chinohi UNHU chinhu chinonetsa kutsanangura asi chinoitisa munhu akudzwe nokuremekedzwa nevaanosangana navo. Kana ukachihwisisa upenyu hwako unofanira kudzikama.

Kumurume wake mukadzi anotaridza rudo nguva dzose chero zvinhu zvisina kumira zvakanaka. Mukadzi basa rake kuda murume wake chete. Murume anofanira kuziva kuti mukadzi wake anomuda, chero musha ukava paCRISIS yakaita sei, murume ngaave ne CONFIDENCE yokuti mukadzi wake anomuda uye anomusapota pane zvaanosarudza kuita kugadzirisa nyaya dzomusha. Ndizvo uchiona vamwe varume vanotanga afonera mukadzi asati aita chimwe chinhu, nokuti anohwisisa kuti ndikataura ndakadai mukadzi achandibvumira. Hino vamwe, unoona obva pane vamwe ofona ari uko, kuri kutya kutukwa zvinohwikwa nevakaterera. Swedera pedo nomoyo wemurume wako ugogarapo kusvika umwe wenyu afa. 

Mukadzi hwisisa mhuri yemurume wako nokukasira. Ukahwa murume wako achitaura zvakaipa pavanhu vemhuri yake, usajoina, uye usajaira kutaurawo zvakaipa pavanhu ava. Usaita ATTITUDE navo kana kufunga zvinofungwa nomurume wako. Munhu dzidza kuzvifungira wega uchibva pane zvawazvionera wega zvinoitwa navanhu ava. Dzidzazve kutsiura murume wako murudo pakutaura zvakaipa zvevamwe vanhu, zvikuru hama dzake. Hatisarudzi hama dzedu. Tinongozvagwa dziripo saka hazvitibatsiri kutaura zvakaipa padziri kana tisiri kubatsira kuvaka upenyu hwavo. Murume akaziva kuti unovenga hama dzake, musi wamunopokana unohwa ava kukuudza mashoko akaipa asi ari iye akakudzidzisa kuvenga hama dzake. 

Mukadzi kasira kuhwisisa kusiyana kwemabasa emunhukadzi neemunhurume. Isu magarire edu akasiyana neevanhu vekunedzimwe nyika pakuti tichiri kuziva kusiyana kwedu nevarume vedu. Mukadzi kana usingagoni mabasa echikadzi, kasira kudzidza. Kana wawanikwa zvoreva kuti wava MANAGER weupenyu hwemurume wako, vana vako, nemusha wako wese. Utano hwemhuri ibasa remukadzi. Pakashaikwa zvokudya iwe ndiwe unopedzisira kudya, vamwe vese vaguta.

Mukadzi anotarisigwa kuti akwanise kuziva BALANCED DIET uye kugona kubika, zvikuru kubika zvinodiwa nomurume wake uye kuzviisa muBALANCED DIET yemhuri.   Kubika chinhu chikuru chose zvokuti hazvifaniri kuti unge usingagoni. Kana une mari yakawanda zvokuti unokwanisa kutenga zvakatobikwa kare zuva nezuva, usafunga kuti murume wako achafara nazvo. Anoda kuti upote uchibika. Kuita HouseGirl hazvirevi kuti hauchabiki. Onekwa uchibika. 

ZvemaHOUSE GIRL izvo kungozvitsvakira nyaya mumba nomurume wako nokuti kana usipo murume wako achafunga kuvata na HOUSE GIRL. Imhosva yako iyoyo. Kana wada House Girl tsvaka munhu ava munhu mukuru kuma 60 years old. Kwete musikana ane mazamu akamira nemagaro ane Swing kana achifamba mumba mako. Bodo. 

Mukadzi anotarisigwa kuti ave munhu anogeza nokutaridzika akanaka. Kana murume wako akunyenga nokuda kwerunako gwako, unofanira kuona kuti iye agara achiona kuti unotaridzika wakanaka. Kugeza chinhu chakanakawo. Kungozoda kutaridzika uri munhu akanaka wava kubuda handizvo. Murume wako ngaakuonewo uchitaridzika wakanaka mumba menyu. Pane uwe munhuwi unoitika pamuviri usinei nokuti wageza here kana kwete, unohi BODY ODOUR pachirungu. Wana mukana wekubvisa BODY ODOUR  kuti murume wako asagarohwa  munhuwi uyu kana makagumbatirana. BODY ODOUR  inoitiswa ne ma BACTERIA anogara pamuviri wemunhu. Zvikuru panhu pakaita se apa:
1 muhapwa
2 Pasi pemazamu kana une mazamu akawa
3 mu ma FOLDS eganda kane uri munhu mukombu
4 pakati pemagaro
5 pamberi uye pasi peganda ragafukidza bhinzi

Pese apa pota uchigeza ne Vinegar kamwe chete pavhiki kuti maBACTERIA awa anonhuwisa afe. Unozvinyorovesa panzwimbo idzi neVINEGAR wombosiya zvakadaro 10-15 minutes, Wozopinda mushawa kana mubhavhu wogeza. Hwisisazve kuti kuno kumusoro panosangana matinji pane bhinzi panoita gweme (SMEGMA) kana usingapegezi zvakanaka. Gweme rnokwanisa futi kuita pakati pematinji. Zvikuru kana uchigarosinira nokuda kwezemo. Hwisisa kuti unokwanisa kuita zemo ugosaziva kuti waita zemo. Kuzasi kunozvimbirira zvikuru kana uri kuhope, iwe ugotadza kuziva kuti ndizvo zvaitika. Panodawo VINEGAR kamwe chete kana kaviri pavhiki. Wopukuta ne chimucheka kana COTTON WOOL ine VINEGAR, wombosiya 10-15 minutes, wozonogeza.

Pane nguva muupenyu hwako nomurume yokuti munosanga musina kupfeka. Ipapo hauna chaunokwanisa kuvanza, kana une hwema murume anotoziva chete kuti une hwema. Saka kugara wakageza zvakanaka chinhu chikuru.

Ibasa romukadzi kuona kuti murume haachengetedzi urume mumuviri wake kwenguva refu. Kuhutapudza ibasa romukadzi wake. Hazvifaniri kuti murume ashuve kuvata nomukadzi iye ane mukadzi mumba. Murume ngaagare achiziva kuti chero paadira kuvata nomukadzi wake, mukadzi akazvigadzirira kuvata naye. Kana ati anoda kukurhoja pakati peusiku dzidza kuiswa uri kuhope. Hazvinetsi kuita. Chikuru ndechokuti murume aite CONFIDENCE yokuziva kuti akati anoda kuvata nomukadzi wake, mukadzi haarambi. Udza murume wako kuti chero paadira iwe unoda, chero maitire aada, iwe unozama kuita. Kukapera nguva akati zii asina zvaati anoda, muudze kuti pava nenguva. Chimwezve wana mukana wekuratidza murume kuti uri kuda kuvata naye. Hazvisi zvikuti akanyarara iwe wotsamwa uchimirira kuti agobvunza kuti zvaita sei. Iwe wega bata bata murume umuudze kuti zvokungovata pasina chaitwa hauzvikwanisi iye aripo. Kana pane chiri kumudya moyo rega ataure. Apedza muudze kuti chiukuru upenyu uye kuva pamwe chete. Mbundikira murume wako ahwe ane SECURITY mumba make. 

Mukadzi anotarisigwa kuti pakuvata nomurume wake ave munhu akasununguka pakuzviita kwete kufunga kuti ibasa remurume chete. Nderenyu mese saka gamuchira murume wako nomoyo wose. Worerusa nyama dzomuviri, woshandisa chiuno murume ogara achiziva kuti mukadzi anoda zvokuvatana naye. Wodzidza kusiyanisa nguva, maitire uye nzvimbo dzokuitira.

Toti muri kuona TV, poitika zvinoitisa zemo paTV, taridza murume wako kuti zvakuitisa zemo. Unokwanisa kuisa ruoko pamberi pemurume wopurudzira kusvika amira chombo. Varume havanetsi kumisa chombo uye kukurudzira kuti avate newe. Ukangomupurudzira pamberi unoona pava kutofuta wovhura zipi wotamba naye kusvika iye ajoinirawo, motoisana.

Mukadzi anotarisigwa kuti achengete nyaya dzomumba mumoyo make asingaudzi vamwe, hama neshamwari. Zvomumba menyu ngazvive CONFIDENTIAL mumba menyu pauviri hwenyu. Kunyeya murume kwakaipa. Akazviziva haazokuudzi zvimwe zvaunofanira kunge uchiziva. Iyi inyaya inopokanisa vanhu vakawandisa asi inyaya isinganetsi kugadzirisa. Dzikamisa hana uye munhu wehama akakubvunza zvinhu zviri CONFIDENTIAL muudze kuti zviri nani abvunze murume wako. 

Mukadzi anotarisigwa kuhwisisa nyaya yokuchengetedza mari. Hazvinei kuti iwe unoshanda here kana kwete. Kushandisa mari zvakanaka chinhu chikuru mumba. Munokwanisa kupokana nenyaya iyi. Mukadzi ngaasatambisa mari. Iwe mukadzi ronga nyaya yokuisa mari mu SAVINGS account kuti mukadzingwa mabasa munge mune mari yokushandisa muchitsvaka mamwe mabasa.

Kana wada kuita mimba, tanga waona kuti mari yokurera mwana munayo, wogara pasi nomurume wako moronga yemimba mese kwete kuti wega wongofunga kuti wava kuda mimba wobva waita. Bvumiranai kuti nguva yakwana. Zvinobva zvatonakidzawo kuti pamunovatana unoudza murume kuti ngaaite zvinoitisa mimba. Mese moita muchiziva kuti ndezvemimba. 

Mukadzi ngaadzidzewo kuemera murume wake. Izvi zvinoitigwa kuti muwane nguva yokutamba mese. Kuema sechimwana chidiki zvinokudzoserai pakutamba sevana. Kungogara makaita masiriyasi mumba handizvo. Murume wako ndiye shamwari yako, ndiye muchengeti wako, ndiye baba vevana vako, ndiye mudikamwi wako saka pamwe unombotamba naye kudzokera paupwere. Unokwanisa kumukonzera kuita zvechipwere, kuti mutambe.  Sokuti ukaona akasuwa unokwanisa kumuti “Mwanangu uya kuna mai umwe mukaka.” Womubudisira zamu. Kungoti aseke kana kutomwa zamu racho, kuti imwe nyaya ichitanga.

Mukadzi ane murume haafaniri kuva nezvinomusvodesa pakati pake nomurume wake. Dzidza kuonekwa nomurume usina kupfeka. Zvinonetsa kuona pamberi pako usina MIRROR saka kana pane zvanetsa iti murume atarise akuudze zvapakaita.

Mukadzi anotarisigwa kugera vhudzi repamberi (choya). Kana wada kuchengeta vhudzi pamberi, chengeta riri pfupipfupi. Unokwanisazve kugera murume wako ogarawo ane vhudzi diki pamberi. Iyi itsika yave kunyika dzakawanda mazuvano. Iwe usatanga kubvunza kuti zvinoitigwei. Ingotevedzera wakanyarara. 

Mukadzi anotarisigwa kusahura nevamwe varume. Hakuna munhu asingazivi kuti kuhura kuita sei. 
Ndakahwa umwe achiti "Hapana chakaitika, akangondibata magaro chete" Unobatwa magaro nomurume asiri wako sei? Ndiko kutohura kwacho ikoko. Kana akakubata magaro iwe usingadi, kasira kundoudza mapurisa kuti pane munhu akubata magaro. Mapurisa haaregi kusunga munhu akadaro. Iye ega akaona mapurisa anotanga kutiza nokuti anoziva kuti magaro emukadzi asiri wako haabatwi. 

  • Kubatwa magaro/mazamu
  • Kukisa umwe murume
  • Kutumira WhatsApp/FaceBook/TEXT inosvodesa
  • Kufamba makabatana maoko
  • Kuvata naye
Zvese izvi chihure hazvibvumigwi. 


Mukadzi anotarisigwa kuchengeta imba yakachena kwete kungorega zvinhu zvakaranganyika mumba. Kana uchishanda ronga kuti pa Weekend woitawo two hours nomurume wako yokugadzira mumba. Madaro womupawo REWARD pazviri. Kuudza murume mava kunovata kuti wakaneta handizvo nokuti iye anenge ane zvaagara atofunga saka fungwa yake iri pakuzviita. Nguva yokuudza murume izvi ndeyokuti mapedza kudya makagara muchitandara mese wotanga nyaya yokuti hazviiti kuti ugare wakaneta nokuti zvinokanganisa dzimwe nyaya dzakakosha kwamuri mese.

Mukadzi anotarisigwa kufarira kugamuchira hama dzemurume pamusha pake. Zvinoitika pachivanhu pedu kuti vanhu vanouya pamusha vasina kukuudza. Dzimwe nguva mwedzi wava pedo kupera saka mari pamusha hapana, asi hama dzauya dzinoda mari yebhazi kudzokera uye dzauya musingafungiri. Mukadzi ratidza kufara nazvo uye kutenda kuti vaita rudo kuzokuonai. Kana murume ane nyaya navo dzemari rega iye ataure navo kuti kana vodazve kuuya vatange vakuudzai. Iwe unoudza hama dzako iye dzake. Asi hwisisazve kuti vanhu vanouya vasina kumbofunga nezvokuti mari inobvepi. Kana umwe wenyu achishanda hama dzinofunga kuti mune mari yakawanda. Usataridza kusafara nazvo. 

Zvinotarisigwa kuti mwana aite mumhuri
Vana vanotarisigwa kutevedzera maitire evabereki vavo zvinoreva kuti mubereki ndiye anodzidzisa vana maitire nokuda kwezviito zvake. Mazuvano okuti umwe mubereki ari ku Zimbabwe umwe ari Joni anonetsa nokuti vana vanokura vasina BALANCE pamaonere avo. Saka kuti tese tihwisise ngatingoti mwana anodzidza pakuona kwete pakuudzwa chete. Ukaudza mwana kuti akudze vanhu vakuru asi iwe uchirova mai vake, hazviiti kuti ahwisise zvauri kumuudza. Kana akura achangorovavo mukadzi wake. Kana ari musikana achangofunga kuti murume anofanira kumurova. Ukagarofoya kana kupopotera murume, vana vanongofunga kuti ndizvo zvinoita mhuri dzese. Ndizvo zvaakaona uchiita. Izvi zvinoitika munyika dzese.

Dzidzisa mwana nokumuudza zvese nokumuratidza. 

Zvinotarisigwa kuti hama dziite mumhuri
Hama dzese dzinotaridzigwa kubatsira mhuri yomurume, mukadzi nevana kuvaka musha wavo. Hama ngadzisagaroda kuratidza AUTHORITY pamhuri diki iyi. AUTHORITY unoipiwa kana kutungamira kwako kwakanaka pakubatsira kwako. Munhu mukuru haafambi achiudza vadiki kuti ndiye mukuru. Maitire ake ndiwo anoratidza kuti ndiye mukuru. Kana waona kuti mhuri iyi iri kuitigwa zvakaipa, iwe mukuru daidza munhu wacho ari kukanganisa umukumbire kuti aone kukanganisa kwake.

Ukahwa kuti mhuri diki iyi ine dambudziko pakati pavo enda unovakurudzira kugadzirisa pauviri hwavo kana kuudza umwe mukuru wemhuri zvikasire kugadzigwa.

Kana uchiona kuti kuronga kwavo hakuna kukwana, enda unobatsira zvisina muripo pazviri. Hama vanhu vanofanira kuvaka hama dzechidiki kwete kuwedzera dambudziko. Tinoziva kuti majerasi ane simba kupfuura rubatsiro asi munhu mukuru zama kuramba uri parubatsiro chero uchiziva kuti vana ava havatendi.

Mazuvano hama dzakachenjera dzinokurudzira vechidiki
Kuita vana vashoma,
Kuisa mari muBHANGI,
Kutenga imba, 

Kuronga insurance yevana vechikoro kuti vazosvikawo kuUNIVERSITY,
Kudzidzisa vana unhu
Kugadzira mazano okuwedzera mari.

Zvinokosheswa nomurume nomukadzi vese
Tichipa SUMMARY toti pane zvinhu mumba zvinounza mufaro zvinoti chimwe chikashaikwa, mufaro unoita mushoma zvokuti pamwe mopedzisira marambana asi iri nyaya yaikwanisa kugadziriswa zvisina nguva. Vanhu vakawanda vanorambana ukatarisa chikonzero chacho unoona kuti chinhu chisina maturo chokuti dai vaikwanisa kutaudzana nacho murudo vaikwanisa kuchigadzirisa pasina kana 5 minutes.

Chinhu chinonetsa mudzimba dzedu ndechokuti vakadzi hatidi kupa varume Authority yokuva mukuru wemba iri ngari yokuti pane zvaaita murume uyu saka andishora. Iniwo handichamupi Authority yaange anayo.

Mukadzi kusada kuiswa panguva yada murume kuisa. Izvi zvinoita varume vahwe sokuti mukadzi amushora chose. Murume anoruza CONFIDENCE pakuva murume kwake opedzisira oti haachakudi. Ukamudembera ukamuudza kuti unomuda, ukamuudza kuti wange uchimushuva pese pamange muchipopotedzana unotoona munhu orerusa moyo kozosviba watomborhojewa mese monyemwerera. Asi zvinoda kuonekwa nguva ichipo, kwete kumirira murume atanga kunyenga vamwe vakadzi.

Hama dzinoda Management uye PSYCHOLOGY yokudzisanganisa kuti vese vaone kuti mumba menyu muri pamwe chete pakufunga uye mune rudo. Hama dzinokupatsanisai kana musina kuchenjera.

Summary Yezvemumba.
1 Kuziva kuti zvinhu zviri CONFIDENTIAL ndezvipi mumba
2 Kuvimbana nokusahurirana
3 Kudanana nomoyo wese
4 Kuziva mabasa ako iwe somurume/mukadzi nokumaita zvakanaka
5 Kusatambisa mari pane zvinhu zvisina maturo
6 Kuda hama dzenyu mese zvakafanana
7 Kupanana zvokuvatana nguva yese yada umwe (sex on demand) kuti umwe akada umwe womupa pese paadira. uye kuratidza kuti uri kuda kuvata noumwe wako nguva dzese. kubvunzana zvamunoda kuitigwa. Usarega murume/ mukadzi wako achikukumbira semunhu auya kuzokumbira mari yechikwereti. Kana waziva kuti murume/mukadzi ane zhara yeRhoji, mupe zvaari kuda agute moyo ugadzikane.
8 Kutamba mese seshamwari muchitaura nyaya nedzimwe dzisina basa muchiseka mese.
9 Kuziva kuti mune vana/muchaita vana saka munofanira kugadzirira upenyu hwavo
10  Kukumbira mazano kumukuru wemhuri kana nyaya dzaipa.
11 Kuti waona kuti wakanganisira umwe wako wokasira kukumbira ruregerero, hazvinei kuti umwe wako mudiki kwauri kana kuti haana kudzidza sewe kana kuti unotambira mari yakawanda kumupfuura.
12 Kugaroudzana kuti munodanana, udza umwe wako kuti unomuda nomoyo wose.
13 Kuchengetedza muviri wako wakanaka zvawange wakaita muchinyengana
14 Kubatsirana pamabasa epamusha kuti umwe asaneta kupfuura umwe
15 Kuronga nyaya dzese dzeupenyu hwenyu pamwe chete kwete kuti uyu woronga zvake uyo zvake.
16 Kugara pamwe chete chero zvodii. Hakuna muchato unokwanisa kumira varidzi vari kunyika kana nzvimbo dzakasiyana kwenguva inopfuura mwedzi mitatu. Ngatisanyeberana.
17 Kutaurirana nguva dzese chinova ndicho chikuru pane zvese. Usambotsamwa zvokubva wanyararira murume/mukadzi wako kwezuva rese. Ukaona achizama kutaura newe chiziva kuti zvamudya moyo. Regerera umwe wako nyaya yopera asi wamuudza kuti chii chawanga wagumbuka nacho.
18 Kuita nguva mese. Kana wapedza basa nanga kumba kune mhuri yako, kwete kumbofamba nemaraini. Wanai zuva ramunoti nderemhuri rinozikamwa nemi mese nevana kuti baba namai vanenge vari kumba vese musi wekuti. Iroro izuva rakakosha zvokuti zvese zvamunoita ndezvemhuri. Isu tinozama kuti musi weSunday hativhakashiri munhu. Tinozama kusavhakasigwa nevanhu. Inguva yedu. Tinononoka kumuka, tosweroita mabasa edu pamwe chete. Family day. Imi tsvakai zuva renyu ramunoda mese.

19 Kuita zvinhu zvenyu semhuri imwe chete, kwete kuti uyu womuka wotora vana vaviri woenda kuWhisiri, uyuwo ozomuka otora mwana asara oenda kuRhoma. Zvinotaridza kuti mese makatadza kusarudza munhu wekuroorana naye. Kuwhisiri kwawaenda uchanotaura navanamai veko vanokupa mazano eko, murume ari kuRhoma achipiwa mazano eko. Pamunosangana munoita mazano api?

Kana uchiziva kuti haukwanisi kugarisana noumwe munhu semagarire atatsanangura awa, zviri nani usaroora kana kuroogwa nokuti uchakanganisa upenyu hweumwe munhu uye hwevana. 


UDZAI VAMWE!!!!!

kugona kubata murume
kugona kubata mukadzi
Zvorudo
Kudanana
Kuda murume
Kuda mukadzi


Saturday, 18 May 2013

Mitemo yenyika pakurhojana kwevanhu

Mitemo yenyika pakurhojana kwevanhu
Kune mitemo yakawanda yatinofanira kuziva panyaya dzokurhojna kwevanhu. Mitemo iyi yakaitigwa kuti umwe noumwe munhu ahwe akasununguka pane zvaari kuita. Mitemo yakawanda panyaya idzi inosungisa varume kupfuura vakadzi. Izvi zvakabva pakuti kare vakadzi vaingobatwa zvisina kufanira votozoita zvokuchengetwa utano hwavo nehazvanzi kana vana baba vavo kuti vaya vavabata varangwe. Zvaizoonekwa kuti paiita hondo pkati pemhuri zvichibva pakuti vasikana vemhuri vabatwa sei. Kwaitizve kana wawanikwa, murume akakurova, waikwanisa kunotaurira hama dzako dzouya dorova murume wako, kumudidzisa kuti kwawakabva kune vanhu.

Chibharo:
Mazuvano nyika zhinji dakaisa mitemo yokuti ukaidarika unokwanisa kusungwa. Mutemo mukuru ndewekubata mukadzi chibharo.  Chibharo chinonetsa varume vakawanda kuchiwhisisa. Munyika dzakawanda kubata mukadzi chibharo zvinoreva kuti

Kumanikidza mukadzi iye asingadi.

Kuti murume apinza chombo mukadzi omuudza kuti haachadi iye oramba achiita.

Kubvisa bhurugwa nokupinza chombo kumukadzi asingazivi kuti ndizvo zvauri kuita, toti  akadhakwa kana kuti amwa mushonga, kana kuti wangomuwana avete asiri mukadzi wako. Kana uchitengera munhukadzi doro musi wamasangana, hwisisa kuti kana akaenda newe kumba kwako, adhakwa, zviri nani usavata naye.

Kuvata nomusikana ane makore ari pasi pemakore emukadzi mukuru. Iyi inyaya inonetsa nokuti mutemo uyu wakasiyana munyika dzakasiyana. Mu UK kune makore akasiyanazve pzviri. Kunoti kana uri musikana wechidiki unofanira kuva nemakore 16 usati wavata nomurume wechidiki ane makore ari pasi pe 20. Kana wada murume ati kurei unofanira kuva nemakore 18.

Kuvata nomunhu ari pasi pako pabasa zvinokwanisa kuhi wabata chibharo. Hazvibvumigwi pakawana.

Kufosa umwe munhu, murume kana mukadzi kuti akumwe chombo

Kupinza chinhu chisiri chombo mune umwe munhu iye asingadi. 



Zvokuita wabatwa chibharo
Kana wabatwa chibharo nomunhurume akakupinza chombo asina kondhomu, usageza usati waonekwa nemapurisa.  Mapurisa akasvika pawabatigwa chibharo, vanoda kurora urume kubva muchitubu chako voendesa kunotesitwa kuti ndohwani.  Murume anokwanisa kuudza mapurisa kuti wange wamuudza kuti unoda kuvata naye.  Pakudaro atobvuma kuti mavata mese zvinoreva kuti chasara kungoti wange wabvuma here kana kwete. Kana pamberi pako pachiratidza kuti wapinzwa neganyabvu murume anoenda kujeri. Kana pachiratidza kuti mavata mese zvisina ganyabvu, vanotarisa kuti wambomaranzura murume here kutaridza kuti haudi, wambochema here kana kuridza mhere? Kana mapurisa akawana banga kana chimwe chinokwanisa kushandiswa kushisidzira mukadzi chiri pamurume uyu kana mumota yake, murume anoenda kujeri.

Kana murume akubata chibharo ari murume wako, mapurisa haatsvaki zvakawanda. Vanongoziva kuti pane chanetsa kuti mukadzi adaro kumurume wake. Murume anosungwa.

Munhukadzi haafaniri kujaira kuva ega nomurume waasinganyatsi kuziva. Asi semagarire edu isu vatema tinokwidzwa mota nevanhurume pakufamba nzendo mopedzisira mangova vaviri mumota iyoyo.  Varume havawhisisiki mafungire avo. Anokubhadharisa mota yake agodazve kukubata chibharo. Pamwe anouya kuzokugadzirira chimwe chinhu mumba opedzisira oda zvimwe.

Mu UK kana murume akahi abata chibharo kana kuti abata muviri wemukadzi asiri wake zvisina mvumo, haachabvumigwi kushanda mabasa akaita seeana DOCTOR, DENTIST, NURSE, TEACHER, CARER, COUNSELLOR, BUS DRIVER, kana rimwe basa rinoonekwa vanhu. Chinonetsa ndechokuti kana murume akapomegwa mhosva yaasina, chero akanotsukunugwa kukoti, zvinokwanisika kuti anodzingwa basa agotadzazve kuwana rimwe.

Kana uri munhurume, usajaira kuwanikwa uri panyaya yokuti munhukadzi anokwanisa kukuti wamubata chibharo. Usavata nomukadzi wawangosangana naye mubhawa kana CLUB. Usina kunyengana naye kwenguva.

Mu UK, zvokuti wabata munhukdzi chibharo ukashandisa kondomu hazvina zvazvinokubatsira. Zvinongotaridza kuti wange uchida kuvhara chakaipa chawaita.

Zvimwe zvinoitwa nevarume
Kune varume vanogara mumba mune gwaro rokuti akauya nomukadzi mumba otanga amuti kana achida kuvata naye ngaasaine. Izvi pamutemo wemu UK hazvishandi pakubatwa chibharo.

Chokutanga ndechokuti mukadzi anokwanisa kuudza mapurisa kuti akamanikidzwa kusaina. Chechipiri ndechokuti pamutemo mukadzi akaudza murume kuti haachadi kuiswa ivo vatomboita nguva vachiita, murume akaramba achiita, anosugwa nekubata chibharo.

Kubata munhukadzi zvisirizvo (sexual assalt) 
Murume akabata mukadzi waasina bvumirano naye magaro, mazamu, kana imwe nhengo yomuviri wake anokwanisa kusungiswa otoenda kujeri. Nyaya iyi inonetsa pakuti zviri kumunhukadzi wacho kuenda kumapurisa kunovaudza kuti murume nhingi aita chokuti. Murume uyu anokwanisa kuramba kuti akazviita asi zvinonetsa nokuti pane vanhu vaviri apa. Mukadzi  ari kuti murume akaita asi murume ari kuti haana chaakaita. Nengari yokuti varume vakawanda vanoreva nhema, ukaenda kukoti nenyaya yakadai kazhinji koti inoti mukadzi ari kutaura chokwadi.

Hapana chinhu chingaratidza kuti wabatwa zamu saka kuudza mapurisa zvinoreva kuti unoda kuti vaterere zvawataura vagobvuma kuti zvaitika. Pakadai zvinobva nenyika yauri uye ganda romuviri wako. Kana uri munhu mutema mukadzi akuendesa kumapurisa ari murungu unokwanisa kutosungwa chero wazviita chero usina. Izvi zvinobva pakuti vakawanda vechitema ndivo vanofarira zvechibharo. Ukatarisa STATISTICS yezvechibharo mu UK wokombeya nevanhu vemarudzi akasiyana siyana, uchaona kuti varume vasingazezi kubata vakadzi chibharo ndeveku MIDDLE EAST neveku AFRICA. Iyi pamwe ingari yokuti kunyika dzavo murume anokwanisa kubata mukadzi chibharo pasina zvinoitika kwaari. Kwedu kuZimbabwe Chibharo hachibvumigwi asi vakadzi vakawanda vanongobatwa chibharo pasina zvinoitika kuvarume vanodaro.

Mitemo yevana:
Kune dzimwe nyika kune mitemo miviri yokuchengetedza vana. Kunoti mutemo unohi AGE OF CONSENT kureva makore emusikana okuti musikana ahi akura zvokuti anokwanisa kuzvisarudzira kuti ovate nomurume here kana kwete. Kozotizve makore okuti vabereki vake vakamubatsira kusarudza.  Toti musikana aita mukomana wake waanoda kuroorana naye asi makore ake ari pasi pe AOC. Pane nyika dzine mutemo wekuti vabereki vakati ngaaroogwe anokwanisa kuroogwa makore ake asina kukwana. Kwedu kuZimbabwe zvaimbobvumigwa kuti musikana ane makore 12 awanikwe kana vabereki vabvuma. Kuti azvisarudzire aifanira kuva nemakore 16. Mazuvano kwangosara 16. Kana uri murume, ukavata nemusikana ane makore ari pasi peawa, unosungwa.

Kana uchigara munyika isiri yako, verenga kuti mitemo yavo yakamira sei usati watanga kuvata nevanhukadzi vemo.

Pamutemo musikana akaudza mukomana kuti ane makore 18 iye ane 15. Mukomana akavata naye anosungwa chete. Chero vakazoroorana mukomana anongohi ane Criminal Record chete.

Munhu akambozviita
Kana ukasangana nemukomana akambobata munhukadzi chibharo ukazviziva, kasira kumusiya akadaro nokuti uchabatwa chibharo iwe pasina kupera nguva. Varume vanobata chibharo vane chigwere chefungwa chisingarapiki. Usazviudza nhema kuti kana achiwana rhoji yakakwana kumba haaiti zvechibharo izvi.  Vakawanda vanongoramba vachiita chete. Kungoti zvimwe hazviudzwi mapurisa nokuti vakadzi vakawanda havadi kuzikamwa kuti vakabatwa chibharo. 

Zvinofanira kuhwisiswa nevarume. 
Chokutanga ndechokuti mupasi rese mune vanhu vanoti vakadzi 52% varume 48%.  Pavarume vashoma ava, kunohi ngochani dzinoita 11% yevarume, ngochanikadzi dzichiita 8% yevakadzi. Izvi zvinoreva kuti kune vakadzi vakawanda kupffura varume zvinoreva kuti kune vakadzi vasingakwanisi kuwana varume. Saka totarisa varume vanoita mhosva idzi tinoona kuti hazviitiswi nokushaya mukadzi asi kuti pane chimwe chinoitisa zvakadai. 

Asizve kana uri murume muChina unofanira kuziva kuti varume munyika iyi vakawanda kupfuura vakadzi, iri nyaya yokuti vanobvumigwa mwana umwe chete saka vakaita mwanasikana kazhinji vanouraya vachida mwanakomana. Mu Greenland varume vakawanda kupfuura vakadzi. Mu India hurumende yeko iri kuzama kuti vanasikana vasauraiwa sezvavari kuita mazuvano. Kunohizve zvinonetsa kuwana musikana muIndia ndosaka iri nyika yechibharo.

South Africa nenyika dzoku South America Chibharo inhamo huru. 


Ngochani
Kune nyika dzisingabvumidzi zvoungochani zvokuti ukabatwa kuti wange uchivata nomunhurume iwe uri murume, kana kuti mukadzi iwe uri mukadzi, unokwanisa kusungwa chero munhu wacho ava munhu mukuru uye mawirirana kuvatana pachenyu. Kune nyika dzisingazvibvumiri, zvikuru kuAfrica nokunyika dzechi ARABHU. Muzuvano zvonetsa nyika idzi nokuti zvikahwikwa nenyika dzinovapa zvipo zvemari, zvipo zviya zvinomiswa. Nyika dzinopa zvipo dzinoti idzo regai vanhu vanoda kurhojana varhojane madire avo chero vari vakadzi vese, varume vese, kana mukadzi nomurume. Kana vasingakuvadzani hazvinei nehurumende. 

Kwedu ku Zimbabwe vatongi vanonyebera kuti hazvibvumigwi asi gore rimwe nerimwe ngochani dzinoita gungano radzo muHarare chaimo dzoimba nziyo dzichifamba mumaSTREET eguta iri pasina anombosungwa achibvunzwa kuti akambovata nani. Izvi zvinoreva kuti mitemo yenyika panyaya iyi haina ane basa nayo. zvinotozikamwa kuti vamwe vakuru muhurumende yedu vanoita zvechingochani pasina anombovasunga. Asi zvadaro mitemo yenyika inoti chingochani hachibvumigwi. Kuti usungwe unofanira kunge waita zvimwe zvinowedzera kusungiswa kwako, sokuti uri ngochani wobata chikomana chidiki chibharo. 

Kana uri kunyika dzechi Arabhu ukabatwa uchivata nomurume iwe uri murume, kana mukadzi iwe uri mukadzi, unokwanisa kuurawa, nokuti vanotevedzera zviri mumabhuku avo e Islam ya Mohamedhi kuti waita izvi ngaaurawe. 

Kana wabatwa munyika ye IRAN, vanokusunga iwe neumwe wako, vokutii musarudze kuti anoda kuitwa operation pakati enyu ndeupi kana muri varume, Umwe wenyu wochekwa chombo woiswa bhuri kuti aite mukadzi. Zvadaro morhojana sezvinoita mukadzi nomurume asi imi makazvagwa muri varume mese. Kufunga kwavo vanoti murume anofongorera umwe murume zvinoreva kuti chombo chake haana basa nacho  saka ngachibve aite mukadzi. 

Kubata mhuka chibharo
Toti wawanikidzwa uchirhojana nemhuka yakaita sembwa, mombe, dhongi, bhiza, gwai, mbudzi, mutemo unoti mhuka haikwanisi kubvuma kuvata newe saka zvinohi waifosa. Zvadaro unokwanisa kuenda kujeri. Kune nyika dzechiARABHU vanotanga vatarisa mhuka yacho. Kana iwe uri murume ukabatwa une mhuka hadzi, zvinokuitira nyore pane kuti ukabatwa nemhukarume apo vanokuti uri ngochani, vokusungisa nomutemo wehungochani.  Kana uri mukadzi hazvitombobvumigwi kuti uwanikwa uchirhojewa nemuka. Kuno kuEurope kune vanhukadzi vanodzidzsa imbwa dzavo kuvata navo. Hakuna munhu ati ambosungwa nenyaya iyi. 


Kubatwa uchirhoja/rhojewa mukadzi/murume wemunhu 
Nyaya yechihure inorambidzwa munyika dzakawanda. Kunyika dzine vanhu vakasvinura pakuipa kwekuhura unokwanisa kuurawa. Kana ukabatwa uri mumba memuridzi wemunhu wauri kuhurira, muridzi anokwanisa kukuuraya agoenda hake kujeri asi kwemakore maviri kana matatu. Kana wabatwa uchihura, ukawana mukana tiza hako wozosungwa uri mupenyu. 

Vamwe mazuvano kwava nefoni dzine makamera, kana akubata uchirhojana nomurume/mukadzi wake anokasira kutora pikicha dzenyu makadaro zvokuti kana nyaya yenyu ikaenda kukoti, hazviiti kuti murambe. 

Munhu anovata nomunhu waanoziva kuti ane murume/mukadzi,  wemunhu anenge atozvipira kufa hake zvikuru kana vasingashandisi makondomu, asi kuurawa nomunhu waunoda kwakasiyana nokuurawa nomunhu anokuvenga. 


Statistics 
Kana uchihwisisa ma STATISTICS kuti anorevei imbotarisa zvakanyogwa pa nyika ye United Kingdom mukupera kwegore ra 2009. Utarise kuti proportion yevatem munyika ugotarisa kuti proportion yavo mumajeri iri papi. Kana wahwisisa izvi wofunga kuti ukahi waita mhosva, ukaendeswa kukoti unonofamba sei ikoko. 





Thursday, 25 April 2013

Mai vemba kupinda chikoro

Mukadzi wemunhu pamagarire edu mazuvano anofanira kugara ane chimwe chinhu chokuti murume akashaika, iye akasara ega, akwanise kuriritira vana. Kare zvaiti murume akashaika mukadzi ogagwa nhaka nomurunyana kana muzukuru, mhuri yoramba yakatsiga. Mazuvano vanokwanisa kugara nhaka havachadi, iywo mukadzi haachadi saka zvoreva kuti ukawanikwa usina chimwe chaunoona kuti chingakupa mari uri wega, unofanira kudzokera kuchikoro.

Kozotizve vakadzi vakachenjera vanokasira kuhwisisa kuti mhuri dzamazuvano dzinoda mari mbiri mumba kuti dzimire zvakanaka. Zvino kana mari ichinetsa, mukadzi anotsvakawo basa oshanda.

Kotizve vamwe vanoti akapedza chikoro owana basa, ozonyengwa ava pabasa. Mukadzi akadai anotowanikwa achihanda kureva kuti munhu anofarirawo kuwana mari sezvinoita murume. Mamwe mabasa anozoda kuti urambe uchidzidza kuti uchengete basa. Zvoreva kuti unopota uchidzokera kuchikoro.

Vamwewo vanongoti akaona zvinoita vamwe, odawo kuzviita otsvaka nzvimbo yechokoro otanga kudzidza.

Chikoro chinoda munhu ane nguva. Mai vemba nguva havana saka vanototi vaderedze nguva yechimwe chinhu chavari kuita kuti nguva yechikoro iwanikwe. Ipapa pakusarudza kwekutora nguva, ndipo panotanga kupopotedzana nomurume. Varume vakafanana nezvana zvidiki panyaya yenguva. Murume akangotanga kuti akauya kumba owana uchiverenga mabhuku ako uchimusiya ega achiona TV, anofunga kuti mai vemba havasisina nguva naye.

Kozotiwo vamwe varume vasingadi zvachose kuhwa nyaya yomukadzi anodzidza. Varume vakadai vanefungwa dzakuma 1840 inova nguva yevanhu vaifunga kuti basa romunhu kadzi kungomirira kuiswa chete nokubika. Zvokudzidza nokushanda ndezvavarume. Kufunga kwakadai mazuvano kwangosara kuvarume vashomanana vokuti kana wakachenjera ukazviziva musati maroorana, zviri nani kumusiya akadaro wotsvaka umwe ane njere.

Chinowanzokonzera murume kuti adai iSELF CONFIDENCE inenge yakashota. Kune varume vanoti chero iye akasvika muGrade 5 chaiyo haadi kuti mukadzi wake asvike Grade 7. Vane fungwa dzokuti mukadzi anofanira kuva pasi pemurume pazvinhu zvese, hazvina basa kuti murume ari pasi zvakadii. Zvinoreva kuti mhuri yakadai yatofa nechekare.

Mukadzi ndiye ega anozviisa pasi pemurume nokuda kwekuti murume munhu akakodzera kupiwa rukudzo mumba kwete kuti anokurambidza kudzidza, kushanda, kana kuita bhiszimisi. Kana ari munhu akakodzera, chero akadzingwa basa iwe uchishanda uchiwana mari yakawanda, chero ukaita MANAGER kubasa kwenyu iye asingashandi, unomupa rukudzo chete. Dai pakuroorana taihwisisa nyaya iyi dai nhamo mumba dziri shoma.

Ndinoziva vamwe ma Businessmen vasina kana Form 6 asi vane njere dzokuronga nokufambisa mabhizimisi avo vachiri vana vadiki. Anozoti nguva yakwana oroora musikana akapedza University omuti ashande muhofisi yebhizimisi rake muchitoona kuti mhuri iyi yava kutoenda mberi.  Murume anenge achihwisisa kuti kudzidza kweUNiversity hakurevi kuti haunchadi kuwanikwa.

Kuno kwatiri kuna vamwe mai vakarambwa nomurume nokuda kwekuti vakatanga kosi yeNURSING apa vane vana vatatu mukuru ane makore 15. Mai ava murume wavo anoshanda mufactory achiita basa rokuronga zvinhu mumabhokisi usiku. Mai ava vakataura padare rehama neshamwari kuti vaida kuti mhuri iwane mari yakawanda sezvo vange vasisadi kuita umwe mwana, vana vatatu ava vaifanira kuwanawo zvinobatsira. Murume akabvunzwa kuti sei asingadi kuti mukadzi aende kuchikoro zvikahi anonosangana nevamwe varume ikoko uye anozodzidza kumupfuura.  Zvakakona kuti ahwisise kuti hapana CHAKAIPA KUTI MUNHU ADZIDZE.

Kune vakaenda kune dzimwe nyika vakanoona ikoko kuti veko vanoramba vachidzidza kusvika vatochembere, zvakavabatsira kuona kuti kudzidza mese mumhuri chinhu chakanaka, uye zvinokurudzira vana kuona kuti chinhu chinofanira kuitwa nevanhu vese.

Mumba chaimo pane zvinodiwa kuti mese mudzidze uye kudzidzisana. Ukada kuzvirova dundundu kuti ndiwe munhu akadzidza kupfuura vese saka zvokudzidza hauchadi, uchazoona imba yako yaparara.

Kusarudza zvokudzidza:
Kana uri munhu anoda upenyu pamwe chete nomurume wako nevana, uchahwisisa kuti kusarudza zvaunoda kudzidza zvinofanigwa kuenderana noutano hwemhuri. Varume vauri kuona vanohi vakadzidza vazhinji vavo vaida kuita mamwe mabasa asi zvakaramba kukwanirana noupenyu hwavo.

Vamwe vakamitisa vachiri kuchikoro ndokutozotadza kukwanisa kuchengeta mwana nokupinda chikoro kusvika pavaida.

Vamwe vakashaikigwa nevabereki ndokutadza kuwana mari yokuenderera mberi.

Vamwe vaida makosi asingawanikwi munyika dzavaigara.

Zvokudzidza zvinoda kugara pasi mese nomurume moronga kwamuri kuda kuenda. Madaro mosarudza kosi dzinoenderana nazvamuri kuda. Pakuronga apa munoramba fungwa iri pa WELFARE yevana. Pamwe vana vacho havasati vatombozvagwa asi munongoronga sokuti varipo nokuti sevabereki ndimi vanhu vanofanira kurera vana. Pane mabasa asingaenderani nokurera vana zvakanaka. Mai vemba dai vambosiyana nemabasa akadai pakudzidzira zvinowanisa mabasa.

Wongororai kuti vane mabasa amuri kuronga kudzidzira vanoshanda nguva dzakadii uye kuti vana vavo vanoona vabereki nguvai. Imiwo vabereki moona kuti mune nguva yokuonana nokuita zvitwa zvevanhu vakuru vakaroorana.Zvinhu zvese zvemumba zvinoitika zvinoda kutanga mabvumirana pauviri hwenyu.

Kuroorana
Kudzivirira mimba
Kuita mimba
Kutenga imba
Kutenga mota
Kudzidza
Kuenda kune imwe nyika.

Kozoitazve makosi anoitwa kumaUNIVERSITY anokwanisa kuita makore matatu kana kupfuura. Munoronga mese kuti zvinofamba sei, uye pakubatsirana basa remumba kuti mese muwane nguva yokuverenga nokupasa, nokurera vana venyu. Pamwe zvinoda mari kuti upedze chkoro. Kana murume achishanda achikupa mari yechikoro ari kuitira kuti mhuri yake ibudirire. Anowana STRESS yakawanda nokuda kwekushaika kwemari mumba. Pa weekendwo vana vavata iwewo woita manager weWELFARE yomurume wako. Wowedzerawo zvakaita se BODY Massage, kubika zvine balance, kuwana nguva yokuita nyaya nomurume wako, kumubvisa zemo zvine mwero mukati. Ma UNIVERSITY akawanda anokupa zuva pakati pevhiki kuti umbonodzidza wega. Murume ngaatarisire zuva iri ne WEEKEND vhiki imwe neimwe, nokuda kwezvaunoita naye pamazuva awa.

Pakushota kwemari, garai pamwe chete mugadzire BUDGET yemumba menyu, iwe wosazowanikwa kuti uri kushandisa mari pazvinhu zvisina maturo. Kana ada kukupa mari yokundorukwa vhudzi iwe chitsvaka munhu anoruka zvisingadhuri wodzoka neimwe mari kumba kuratidza kuti unohwisisa kuti mari ishoma, kwete kutofoya murume kuti haasi kutambira yakakwana.

Murume akazotanga kudemba kuti dai usingaendi kuchikoro, ndiwe waruza asi mhuri yese yaruzawo. Potawo uchiudza murume zvauri kudzidza uye kuti zvinorevei, kuti aone kuti uri kuhwisisa zvauri kudzidza. Ukaona murume oti akabva kubasa otanga atsvaka shamwari dzake dzedoro asi mukadzi wake waasina kuona vhiki yese akamumirira kumba, wana mukana wekumukwezva adzoke kumba.

Kana bopoto rikatanga mumba iwe kasira kuhwisisa kuti STRESS yakawanda mumba saka usajaira kudavira murume nebopoto, asi kuderedza hwi rako kana kunyarara kusvika apedza kutaura zvaanoda kutaura. Adaro muudze kuti unohwisisa zviri mumoyo make. Nguva yokudzidza kwamai vemba inguva inopopotedzanwa zvakawedzera. Umwe wenyu ngaaite moyo murefu.

Rudo ngaguwanzwe mumba. Zvikuru kana wadzidza kupfuura murume uchiziva kuti vamwe varume zvinovashaisa chivimbo chokuti uri kudzidzira mhuri yenyu kuti ibudirire uye chero ukasvika papi zvapo murume wako unomuda uye hauregi kumupa rukudzo uchiti nokuti wadzidza, kana kuti wava kutambira mari inopfuura yake. Shandisa ruzivo gwako kuumba mhuri yenyu kuti irarame.

Taridza kuti wava munhu wakadzidza pakuronga zvinovaka nomurume wako. Murume wako awedzere kuvimba newe nezvawanda zvaunogona zvepamusha. Hwikwa uchipa mazano ekuvaka kune mamwe madzimai murume azive kuti wava ne CONFIDENCE pamusha wako nomurume wako.

___________________________________________________________________________
Veduwee, munoionawo sei imi kuti munhu ane murume mumba agohi anopinda chikoro uku achishandawo kabasa chero kadiki. Ane mhuri mumba.

Inyaya inopokanisa vakawanda mudzimba zvikuru varume uye zvikuru kana mukadzi asvika pokuti akapfuura anobva adzidza kupfuura murume wake. Varume vekuAfrica zvokuti mukadzi adzidze kumupfuura havadi. Unokwanisa kutorambwa usi pakati pekudzidza ugoruza kwese, kuti uku waruza murume uku waruza chikoro. Nani kumuudza kuti uri kuita Diploma iwe uchiita Degree. Wozomuratidza wawana basa.

Taurai tihwe vakambozviona.

Monday, 22 April 2013

Mukadzi/murume anoita seasingaguti



Musi wekutanga kuita Orgasm (kutunda kwemukadzi parhoji)
Kuvarume hakuna chinonetsa. Musi waanotanka kuvata nomukadzi anotodiridzira mukadzi nokukasira, kureva kuti asvika pakunakigwa panobudisa urume hwake huchipinda mumukadzi.

Vakadzi vakasiyana neizvi kashoma kuti unoguta musi waunobviswa humhandara. Vakawanda vanoti akatanga kuvata nomurume anokwanisa kuita mwedzi yakawanda asina kumbosvikapo. Vamwe vanoita makore akawanda. Tikatarisa kuvanhukadzi vari muUSA, zvakanyogwa mubhuku rinohi THE BIG O zvinonzi pakutanga kwavo kuvata nevarume

47 % vakasvika pakunakigwa nengari yokuzvibatabata pasina umwe munhu
32% vakaita pakuvata nomurume nokupinzwa chombo 
20 % vakaita kubva pakutamba nomurume pasina kupinzwa chombo
1% vakaita vavete hope varota vachiiswa nomurume.

Tinoonazve kuti munyika iyi vakawanda vanotanga kunakigwa vava nemakore 18-20. Asi vamwe vanozotaga kusvika pachinhanho ichi vava nemakore 40 kana kupfuura. Saka upenyu hwemunhu akadai anenge ava nenguva yakareba achivata nomurume asi zvisingaiti.  Kweduwo tinavo vakawanda vava nevana kureva kuti vari kuvata nevarume vavo asi havana kumbosvikawo pachinhanho ichi.

Tikatarisa ma figure ezvikonzero zvomusi wekutanga izvo tinoona kuti muridzi ndiye anowanzozvinakira ega pa 47% apo. Zvinohizve kana iwe muridzi usingazivi zvinokusvitsa panzvimbo iyi, zvinonetsa kuti uzosvikapo wava nomurume. Kune vokwedu vakadhonza, hazvinetsi kuhwisisa kuti pakudhonza ukatanga uri mwanana (12-15years old) ndiyo nguva yaunenge wava kukurawo muviri, mazamu pamberi nokumera vhudzi pamberi. Ndiyo nguva yaunogaroita zemo uvete kana wakasvinura ukafunga zvokuiswa. Ndiyo nguva yokuti pakudhonza unokwanisa kutanga uchidhonza wopedzisira wazvimbirira wava nezemo wobva wazvibatabata wega. Ukazojaira kudaro unosvika panzvimbo iyoyo umwe musi zvokuti musi wekutanga zvinokuvhundusa asi unozodazve kuzviita wobva waramba uchidaro.

Pakuzowanikwa paya kana murume achikunonokera unokwanisa kusvika futi nemurume. Kana achikukasirira haukwanisi saka ndipo pokuti uri wega mubhavhu wozviitira. Murume ozopinzawo hake iwe watombozviitira wega. Kana uchigarosvika pakunakigwa uri wega, zvinoreva kuti masvikire acho ndeekuzvikwizirira pedo nebhinzi zvinova zvakasiyana nokupinzwa chombo nokukoirana nomurume. Manakire azvo akatosiyana uye echombo ari pasi nokuti pabhinzi ndipo pakaungana kunaka kwese. Saka kana wada kuwedzera kunakigwa nomurume unokwanisa kuti muvete mese woti uku murume ari kukoira uku iwe uri kukwizirira bhinzi. Zvakanakira kuti kana murume wako ari munhu wechimbichimbi, unonakigwa asati adiridzira. 

Kune vanovata nevarume nguva dzese:
 Tikatarisa vanhukadzi vese tinoona kuti panyaya yokunakigwa iyi zvinhu hazvina kumira zvakana. Tichitarisa panyaya yokuvata nomurume tinowana zvakadai

33% vanokwanisa kusvika pakupfidziswa nokuiswa nomurume nechombo mazuva akawanda. Pane ivava, vashoma vanoita pese pavanovata nomurume.
33% vanokwanisa havo kuzviita asi zvinoda kuti uku chombo chirimo, uku murume otanga amboita rimwe basa ozowedzerazve iye apedza, uye kuti iyewo mukadzi awedzere zviri kuitwa nomurume.
33%  havatombosviki kwese uko chero zvodii nechombo.

Izvi zvinoreva kuti nyaya yedu inyaya inonetsa kuhwisiswa nevarume vedu zvokuti ukasagara naye pasi kumutsanangurira kuti zvako iwe zviri papi anokwanisa kungofunga kuti chombo ndicho chiororo izvo bodo.  Chiororo kuziva muviri wako iwe muridzi.

Zera:
Pavanhukadzi kuwanda kwevari kusvika panhu pedu apa kunowedzera nokukura kwavo. Tikaverenga vanozvikwanisa muvakadzi vapfuura makore 40 tinoona kuti vanosvika 70%. Saka kana wazvitadza uchiri mudiki hazvirevi kuti uchangogara wakadaro.  Dzidza kuzviitisa kuti paunozovata nomurume ukasire kuita.

Dambudziko guru muvanhukadzi.
Ugino hwevarume nenyaya yemafambire ezvinhu izvi hunoitisa kuti vakawanda vedu vasambosvika panhu apa. Kozotizve isuwo kutya kudzidza kuzvinakira kunoitisa tisaziva kuti chii chinokwanisa kutisvitsa panyaya iyi. Zvino kana iwe usingazivi, murume wako asingazivi, anovata newe achingonakigwa ega iwe uchisara une zemo.  Ndipo unohwa varume vakawanda vachipopota kuti sei vakadzi vavo vasinganyanyofarira kuiswa. Inyaya yokuti zuva rese raunovhurira murume unongo iswa urume wosiiwa une zemo, saka chawavhurira murume ipapo chii. Iye unotoona achinakigwa zvokuti.

Dambudziko kazhinji kukasirigwa. Murume anongoti kupinda nokutunda pamwepo. Vazhinji vedu tinoda kumborezviwa nokubatwabatwa nokuudzwa nyaya dzinonakidza nokuzoti murume apinda ombondinyemudza chombo ozoti pakukoira oitawo kana 7 minutes arimo mukadzi achihwa pane moyo. (vakawanda vanoda nguva inoita 10-20 munites muchimbomira murume otombobudisa chombo moramba muchitamba)  Zvadaro murume ari mukati mukadzi ndiye dhiraivha anoziva zvinomuitisa asvike panhu pedu. Vanhu ava vakataurirana kwavari kuenda voenda vese zvinokwanisika kuti unosvika kwausati wambosvika
Kana ndisingadi:
 Pamwe unopinzwa chombo murume oitawo zvakanaka chose asi iwe wotadza kusvika nokuti hausi kuda kusvika. Hazvirevi kuti hauna kunakigwa. Zvinongoreva kuti hauna kunakigwa zvokusvika pakupedza. Kupinzwa chombo panguva yokuvata mambotamba mukambobatana, zvinoita munhukadzi ahwe ari pedo nomoyo wemurume wake zvichibva nemaisire amuri kuitana. Kungopinzwa momboita nyaya zvenyu uchihwa akapinda uchihwa chifuva chake achifema muchipota muchikisana, kunoita kuti uhwe rudo. Zvinonaka, uye dzimwe nguva mukadzi anenge asingadi kusvitswa pokupedzisira.

Todii kuzama kusvika paOrgasm?
Chokutanga ongorora kuti sei zvisingakuitiri. Kana wakambosvika, zvibvunze kuti wakasvika sei musi iwoyo? Chizama kushandisa mutowo iwoyo kusvika zvaitazve. Kana usati wambozviita,  hwisisa kuti maitikire azvo akasiyana, zvimwe zviri INTENSE zvimwe ndizvowo hazvo. Hwisisazve kuti unokwanisa kungoerekana zvaitika uye pamwe zvinokuvhundusa kunaka kwazvo.

Rerusa muviri: (RELAX) ubatsirane nomurume pakuvatana kwenyu. Wega unohwa muviri wese uchidavira kuti chombo chiri mukati uye chiri kunaka. Ukada kumbotsinzina maziso woenda kune imwe nzvimbo inonaka kuisigwa ita. Rerusa muviri.

Gara usina zvauri kufunganya. Dzidza kuda kuiswa nomurume wako. Uye dzidza kutaura wakasununguka. Kana pane chaubaya moyo, chibudise pachena chitaugwe chipere.

Kuvhenganisa maitire enyu kunokwanisa kukuitisa Orgasm. Kana pane zvaunofunga kuti zvinoitwa nevane musikahwa imbozviita izvozvo iwe. Uchaona kuti zvinonaka iri nyaya ye Excitement. Sokuti une murume anoda kungokwira pamusoro, umwe musi muchitamba musina hembhe unomutsimbirira womukwira moita semuri kugwirana kuva pamusoro. womboindawo pamusoro.

Taura muchiita. Taura nemurume uchimuudza zvouita uye zvaari kukuita. Ramba ucitaura. Muudze manakire azvo. Kuiswa wakanyarara hakunaki.

Siyanisai nzvimbo. Ita musikahwa wenhunzi inoti kuti iri kudya nyama uku iri kupinzwa chombo. Toti uri mubhavhu murume ari kuona TV, unokwanisa kumudaidza ouya womuudza akugezzese musana. Akamira chombo nazvo muudze ashandise chombo.

Kusavhenganisa nyaya dzemumba nenyaya dzokuvatana chinhu chakanakawo hacho. Kana mune nyaya pakati penyu, musaitaura muimba yokuvata. imba iyi ndeyezvinhu zvorudo chete nokuva pamwe. Kuronga musha nokupopotedzana kunoitigwa muimba yokugara (living room)

Kutya kuvata nomurume kunoita usanakigwa. Toti murume akahurira ukamuregerera, unokwanisa kutya kuti achiri kuhura uye angangokupa chigwere. Nyaya dzakadai dzinokutadzisa kunakigwa. Kana murume ahura, muudze kuti regerero inotangira pakuti mese moendakuTEST moudzwa kuti hapana chamunacho mobva matanga kuisana muchizivi kuti mapukunyuka pazvigwere zvechihure.
Kuneta nemabasa kunokwanisa kuti ungozowana simba rokuti murume agute. Kungovhurira murume iwe usinei hako nazvo.
Kusimbisa masuro yechitubu kunobatsira kuti pakurhojana unokwanisa kusvinya chombo kukwiziwa nacho mukati kowedzera.

Varume vodii kuti mukadzi asvikewo?.
Varume chokutanga dzidza kutaura nomukadzi wako zvisina AUTHORITY mukati, kusvika pakuti kana muchitaura nyaya dzerhoji munge muri vanhu vaksununguka mese. Kusununguka uku kunosvika pakuti munoudzana zvinoitika mumiviri yenyu. Vakadzi tinoona zvichisvodesa kuudza murume kuti dzimwe nguva tinoshndisawo maoko. Zvinosvika pakuti kana murume akakusiya une zemo vakawanda vanotorera zemo kusvika murume abatwa nehope voita nemaoko murume asingazvioni. Kazhinji zvinoitwa seizvi kuti murume asaziva kuti atadza kupedzisa mukadzi.

Varume munofanirawo kudzidza mega kuziva kuti zvaita here kana kwete. Kana watadza kusvitsa mukadzi pakupedza zemo, unofanira kuziva wega kuti atandza saka panodiwa zvimwe zvinoitwa kuti asvike mese mugozobatwa nehope. Zemo romunhukadzi rinononoka kupera rega zvokuti pamwe hope hadziuyi kusvika waripedza.

Kuti upinze chombo mumukadzi, tanga waona kuti wambomukwidza zemo zvokuti anokasira kusvika pauri kuda kuti asvike. Izvi zvinoitwa nokutora nguva muchikisana, kubatana, kurezvana, etc. Madaro unombopinzawo chigumwe mukati wokwenyerera mukati nechokumusoro kwakananga kuguvu. Pane nzvimbo yakagwinya kubvuura dzimwe inova ndiyo inoti kana muchiita maitire mamwe chombo chikanokwizapo mukadzi anowedzera kunakigwa. Unombokwenyererapo kwenguva. Mukadzi anonakigwa nazvo.

Pakuzopinza unowana panyorova zvakanaka zvokuti ukawana mukana wekumunonokera anokwanisa kusvika pakupedza. Nyaya yokunonoka inonetsa varume vakawanda nokuti havadi kuzvidzidzira. Kunonoka chinhu chinodzidzika saka uchida kuti mukadzi wako akupe rukudzo panyaya dzerhoji, dzidza kunonoka.

Kusaita tsika nezviito zvonoshaisa mukadzi mufaro chinhu chakanaka kana uchida kuti anakigwe pakuvatana kwenyu. Mukadzi asina mufaro anonetseka kunakigwa. Vamwe varume havanei nokuda kugadzirisa nyaya dzinoitika mumba. Anoti imwe ichiripo otanga imwe futi. Vamwewo vanoda kugarorangaridza mukadzi kuti munhu asina maturo pamafungire avo. Murume akadaro anonetsa kunakigwa naye.  Munhu itawo mukadzi wako ahwe ari munhu ane chiremera. Kana achitaura terera. Kana ukaona asina mufaro bvunza kuti zvaita sei. Achigwara imbomuriritirawo sezvaanoita iwe uchigwara kwete kungoti akagwara wofonera mai vake kuti vazoona zvokuita.

Kuva nechombo hazvirevi kuti unogona basa racho. Zvinodawo kuti uite nyanzvi pabasa.

Chitubu handicho mukadzi. Pane muviri wake wese unodawo kuziva kuti mumba mune murume, makumbo, magaro, dumbu, mazamu, huro, mafudzi, musana, musoro. Muviri wese unenge uchida kuziva kuti mumba mune murume.

Kusvitsawo rurimi pabhinzi yomukdzi wako zvinonaka chose. Varume, ukambobva kwawabva umwewo musi ukawana mukadzi wako akakumirira mumba, ukamubvunza kuti atogeza here, kana ageza iwewo wonogeza, wombomupa inohi Tongue bath muviri wese, wonomirira pabhinzi apo pa HQ yekunaka. wozoti waona kuti zviri kufamba sei wozoitawo hako zvokupinza chombo. Zvinonaka zvokuti kuitwa mazuva ese vamwe hatidi. Asi kamwe pavhiki maybe. Asi Orgasm hainonoki. Ndati hainonoki uye inouya ichiita sechitima chaicho. Bhinzi inonaka varume wee. 

Blue Balls
Kana ukaita zemo uri murume ukatadza kuripedza, unoita CONDITION inohi Blue Balls kureva kuti pamberi pako mabhora ako anombogwadza kukomburena kuti sei tisina kuwana mukana wekubudisa urume.

Isuwo tinoita BLUE BALLS yechikadzi asi kuti yedu inotora nguva yakareba. Uke rhojewa murume akapedza iwe usina, zvinotoda kuti akubatsire upedzewo. Ukasadaro unohwa kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kwenguva refu. Varume, kana wakamboita Blue Balls whisisa kuti ndizvo zvinoita mukadzi wako zuva nezuva. Mapahwa here?

Summary:
Kana uchihwa musoro, ukarhojana nomurume kusvika pakuita orgasm, musoro unopora kusina kupera 10 minutes.
Inonetsa kuita nokungopinzwa chombo chete asi pakawanikwa zvimwe inokwanisika. Kana mese muchida kugutsana mukaudzana zvokuita mukazviita mukadzi anokwanisawo kuguta kusvika panodiwa.

Kukura zera  nokugarorhojana nomunhu umwe chete kunowedzera kuita orgasm. Zvinoreva kuti mukadzi ane makore 30 chanzi yake yopkuita iri pamusoro peyemukadzi ane makore 25.

Magarire emukadzi nemafungire ake anoita kuti aite kana kusaita orgasm. Kana asina mufaro zvinonetsa kuita. Kune vanhu vakawanikwa pamisha ine zvibinge pese pese. Vanhu vakadai zvinokwanisa kuvanetsa. Mukadzi ane STRESS haanakigwi.

Kuhwisisa kwemurume kunowedzera chanzi yokuita orgasm. Murume anoziva kuti mukadzi anofanirawo kusvika chinhanho ichi anobatsira mukadzi wake. Kubatsira kukuru kunonoka nokunonoka nokunonoka kusvika mukadzi apfidza.

Zvinohi vakadzi vakawanda vasingaiti orgasm, vakasangana nomurume anosvika 10-20 minutes pakuisana, uye ane rudo nezheve dzokuterera zvinotaugwa nomukadzi, vanosvikawo, zvinoreva kuti varume vedu vane nyaya inoda kugadziriswa.

Mukadzi akazvibatabata kubva ari mudiki achizvisvitsa paorgasm ega, akazowana murume anokasira kutanga kusvika nomurume kana murume wacho achihwisisa nyaya yevakadzi mamirire ayo. Mukadzi asingazivi muviri wake kuti unoda chii haakwanisi kuudza fungwa dzake kuti amirira kunakigwa.

Kurerusa muviri kuti ugamuchire chombo norudo gwemurume zvinobatsira muviri kugamuchira nokupa zvisina dzimwe nyaya.

Kusasvika pa orgasm hazvirevi kuti hauzosviki pane imwe nguva.  Unokwanisa kusvika makore akawanda usina kumbozviita asi umwe musi zvongozoitika.

Hwisisa kuti kusaita Orgasm hazvirevi kuti hausi kunakigwa asi kuti i EXPERIENCE inonaka zvokuti kana wambooita, unozoida kakawanda.

Ukatanga hupenyu hwerhoji nomurume wawakagadzikana naye anoti muchiisana unosvika pa orgasm, ukazombana naye ukadanana negino risingahwisisi kuti mukadzi anoitwa sei uye risina hanya nazvo, Relationship yenyu haigari nguva refu, even makaroorana. Ukabvunza vakadzi vanohurira varume kuti vanozviitirei, unowana kuti chimwe chezvavanotaura ndechokuti murume haana hanya nokunakigwa kwemukadzi wake.
Vakadzi vakawandisa vanoita Orgasm vega murume avata apedza kushandisa mukadzi kuita yake ega  mukadzi asina. Iyi ndiyo nyaya yaunohwa kakawanda chose. Zvinoreva kuti mukadzi anokwanisa kuita asi murume haasi kumupa chanzi. Ari kumukasirira.
Vanhu mese varume nevakadzi, hwisisai kuti iyi inyaya huru chose mudzimba.

Varume vasingaiti Orgasm:
Kune varume vashomanana vasingatundi urume pakurhojana nomukadzi. Anoti chombo chimire mukadzi ari kugamuchira asi iye murume anokoira kutobuda ziya asi pasina chinobuda. Izvi zvinonakira mukadzi wake chose asi iye hapana chaanowana. Ichi chigwere chinotozikamwa chinohi DSM-IV. Kazhinji muvarume vakadai zvinoitika kuti kana ari ega anokwanisa kubudisa urume asi kana ava nomukadzi hapana chinoitika.

Zvinohi varume vakadai vanotyiswa nezviito zvavo kusvika pakuti zvinokanganisa kudanana kwavo nevakadzi vavo zvinova zvinowedzera STRESS. Stress iya yowedzera kusakwanisa kubudisa urume. Nyaya iya yobva yawedzera kuitika kwayo vanhu vopedzisira vopokana nazvo asi isiri mhosva yomurume kana mukadzi.

Mukadzi ane murume akadai anofanira kuva munhu anohwisisa nokuti varume vedu mazuvano vanhu vanoshanda mabasa ane puresha yakawanda zvokuti vamwe vavo vanokwira BP uye havavati zvakanaka. Muviri wemukadzi kana murume haudi kugaro piwa ABUSE yakawanda saka napo napo zvimwe zvange zvichishanda zvinomira kushanda.

Ukahwisisa kuti haisi mhosva yake, unokwanisa kutaura naye murudo, mobvumirana kubatsirana kutsvaka chikonzero uye kuchibvisa. Pavarume vedu, chinhu chinogwadza moyo kuti uku ari kutadza kukupa urume uku ari kuhubudisa pakutamba ega. Chikuru kuhwisisa kuti haasi kuita maune uye kuti kusakupa urume hazvirevi kuti haachakudi. Kana murume asisakudi haavati newe.




Udzai vamwe!!!!!
kutunda kwemukadzi
kugutsa mukadzi pabonde
Kugutsa murume
Kubata murume zvakanaka
Kubata mukadzi zvakanaka
Kufarira kuvatana


Sunday, 21 April 2013

Kuvata noMusikana/Mukomana webasa

Musikana/Mukomana webasa pamusha

Nyaya dzevashandi dzagara dzinonetsa. Chokutanga tinofanira kuhwisisa kuti se vanhu vane mhuri yavo vachizoda kunotsvaka munhu wavasinei naye kuti azovashandira pamusha pavo achigarapo,  zvinenge zvamboita sei.  Nyaya iyi inobva kure uye zvikonzero zvayo zvasiyana nezvazvange zviri kare. Tichitarisa kare tinoona kuti vanhu vaiti kana murume akawana basa rakanaka, vakanogara kunzvimbo ine dzimba dzinodhura. Vadaro vaizowana kwese kunzvimbo iyoyo kune dzimba dzine vashandi, ivo vofunga kuti zvakakodzera kuti vaitewo mushandi kuti vasaonekwa vachiita mabasa anoitwa nevashandi mune dzimwe dzimba. Waizoona imba ine mwana umwe chete, mai vake havashandi, chikoro Havana kupinda, pamba hapana project yavanoita, woona vane mushandi anoita basa rokusuka ndiro, nokuwacha, nokuenda kumagirosa sezvinoita vari mune dzimwe dzimba.

Pamba paya paiswa musikana webasa paizoonekwa kuti hapana munhu wekugadzira zigadheni riya ratengwa neimba yaro. Taizoona kuti baba vaya vaingopedzisira vatsvaka mukomana wegadheni  mari yacho isingakwani nokuti pane munhu umwe anoshanda.

Waizoona murume uya nemhuri yake, mari yekubhadhara imba yaperera pavashandi onotora huku dzemafidha kuti awane kamwe kamari. Mukadzi uya wokusadzidza kufidha huku otadza kukuhwisisa, huku dziya vopedzisira vodya varidzi vadzo, Profit hapana. Zvovanetsa mhuri yese vasingahwisisi kuti mari iri kuperera pavashandi vasina zvavanounza pamusha.

Pakadai murume aizogaroshanda ma Overtime kubasa, osvika kumba asina simba rokugutsa mukadzi. Mukadzi otanga kufoya murume nokumufungira kuti ari kuhura . Nyaya yoti uku ari kuswera pamba nemukomana akagwinya, uku iye haasi kuguta, uku murume haana nguva naye nokuda kuriritira mhuri. Kusadzidza kuya kotanga kukonzera kufunganya uye kutarisa zvidya zvemukomana wekupfeka chikabudura achidiridza muriwo. 

Murume akaroora mukadzi asina kudzidza achifunga kuti ndiye achazovimbika nokuti anotenda kuti akurudzigwa asi obva amusiya nomukomana wezera rake uye we SOCIAL STATUS yake. Vaviri ava vakatanga kutaurirana vanohwisisana.  Kuti vaswera vese umwe ane zemo rave namazuva matatu handizvo. Vanopedzisira vaisana chete. Iye saimba ndiye ane mhozva nokuti anosiya vanhu ava pamba vasina zvimwe zvavari kuita. 

Imwewo nguva.
Takazosvikawo pane imwe nguva yokuti vakadzi vairoogwa vanga vati dzidzeiwo vachihwisisa zviitiko zvemunyika. Apa ndipo patazoona kuti munhu uya ainzi mushandi pamba ange ava munhu akadzidzawo zvokuti aiziva zvaari kuda. Anouya kutaundhi achitanga kunoshanda kumayadhi, opedzisira opinzwa chikoro kupedzisa FORM 4 ari pabasa iri achiwana mari uku achibhadhara chikoro nokushandisa chiuno kuna baba/mai vemba.

Mazuvano tinoona kuti kuma 2000-2009 nyaya yemaSmall House yakaita EXPLOSION munyika yedu nenyaya yokushaikwa kwemabasa. Vasikana vaida mabasa vakawanda. Mabasa kwange kusina, vasikana vakadzidza chose. Zvange zvaitikawo kuti kune vakadzi vakawanda vakavambuka vachisiya varume vanoshanda pamusha pane vana vanoda muchengeti. Potsvakwa musikana webasa anochengeta vana achivatapo mai vevana pasina. Baba vevana Havana wekuvata naye. Zvakaitika panguva iyi zvakawandisa uye vanhukadzi vakazobuda munguva iyi vave mvana vakawandisa. 

Koitazve vakomana vakawana mabasa padzimba nokuda kwemari yaishandwa nevarume vevanhu kuzhe kwenyika vachitumira mhuri kuti mhuri ifambire mberi. Saka pamba paingoita vashandi vaviri namai vemba.

Panguvawo dzese idzi takaona kuti vanhu zvevashandi vanozvida chero pasina chinhu chinodiwa kuitwa nomushandi wacho. Vashandiwo vanhu vanoti ashaya zvimwe zvokuita anonoshanda pabasa raasingadi kuti zvifambe. Vamwe vavo vange vari vanhu vakadzidza kusvika pa Form 4 kana kupfuura saka waitoona kuti muchibva pachikoro muri vaviri, umwe woenda kunoita ticha umwe woenda kunoshanda pamba yomunhu pamba panomubereki umwe chete nevana. Pamwe hapana vana.

Nyaya yese iyi yainetsazve kuti nyika yese pamwe inoita sokuti inyika ine hondo saka vanhu vari kutsvaka zvinhu zve SHORT TERM chete. Kukorokoza, kuba, kuhura, kutsvaka kabasa kokuita nhasi chete, zvichidaro.

Saka vashandi vemudzimba vakawedzeresa kuhura kwevanridzi vedzimba idzi vakawandisa. Vasikana vakaita mimba vakawanda, vakavatwa navo zvisina mimba vakawanda. Vakomanawo vakavata namai vemba vakawanda. Dzimwe mimba dzakaitikawo ndedzavo. Chinonetsa mukadzi wemunhu pamusha ndechokuti hazviiti kuti anzi ari pa CONTRACEPTION muriume asingazivi asi kana ashandisa kondhomu nomukomana webasa. Anokwanisazve kundobaiwa DEPO asi hunge atoenda kure nekwaanogara kuti zvisazobuda.

Kuvata nomusikana webasa:
Musikana webasa anoonekwa sokuti mukadzi wemurume uyu nokuti ndiye anowacha zvipfekwa zvake nokuzviaina. Anochinja mashitsi pamubhedha wemurume uyu. Anosona zvabvaruka, anomubikira zvese zvaanodya, anomugadzirira zvokudya zvokubasa norudo sezvinongoita mai vemba. Ipapo mai vemba vakagara vachiona TV. Varume vedu vechivanhu kufunga kwavo kwakasiyana nekwemamwe marudzi. Kana pamba paita mukadzi murume akawana mukana anomukwira chete ozorambwa hake akwira. Uyavo nyakukwigwa kazhinji haawani simba rokuramba nokuti munhu anoda kumukwira ndiye munhu anomubhadhara pamwedzi. Simba rake ishoma pakuramba nokuti akadzingwa basa haana kwekuenda. Akatokwigwa anopedzisira awedzegwa mari, nokutengegwa nhumbi. 

Kana mushandi ari munhu mukuru toti makore anopfuura 25, uye ane mwana kana kuti akambogarawo nomurume, akazofigwa kana kurambwa, anenge achitodawo kupiwa nokuratidzwa rudo. Kuiswa chinhu cherudo saka moyo unozarawo mufaro ne EXCITEMENT nazvo. Kuzobudazve mu SPOCIAL CIRCLE yake zvinopa manyawi. Wotoona murume otovata naye zvoita sokuti vatova neSECERET yavo. Vaya mai vemba vosara vati vavava sehuku yanaiwa nechimvuramabwe. Murume anotovata nomusikana webasa pamubhedha weMain Bedroom panovata muridzi wemba. Vanhu kwanai. 

Kana wada musikana webasa tsvaka munhu mukuru anohwisisa mafambire emusha uye anoremekedzwa nomurume wako. Kuvata nomusikana webasa kunobva pakumhura munhu anokushandira, kutanga kutarisa muviri wake nokuziva kuti haakwanisi kuramba. 

Kuvata nomukomana webasa.
Vakomana vebasa kazhinji vanoshanda pazhe zvokuti havawanzi kusangana namai vemba. Vakadzi kana vambojaira kuvata nomurume akazoshaya asi zuva nezuva achionawo murume waanziva kuti akasvika anokwanisawo kuti umwe musi zemo rakakwira ukumbira mukomana webasa kuti auye mumba. Vana vari kuchikoro, murume ari Joni kana kumwe, paitawo mwedzi miviri asi wambopurudzirawo kana garo haro. Zuva rapisa kuwedzera zemo. Anoti mokomana uya umwe mazowe, vomboita nyaya.

Mukomana webasa kubvisigwa bhurugwa namai vemba zvoita sokuti munhu akwirira chose. Akazoonekwa kuti basa anogona kupfuura baba vemba zvatoshata pamusha apa. Ukaverenga tsamba dzinonyogwa nevakambozviita unohwisisa kuti chinhu chakanaka chose kudzidza zvinodiwa nomukadzi wawakaroora. Asi mukomana webasa anongokwanisawo kuva munhu anochivika kutarira. Kubva pakugwinya muviri nenyaya yokutimba gadheni uye kuva munhu anofema mweya uri FRESH.

Zvikuru kana mai vemba vasingashandi vachingoswera pamba nomukomana webasa, zvana zvaenda kuchikoro. Zemo harina shasha. Uripo akambonyora kuti ange asinei nazvo kusvika atarisa nepawindho ndokuona mukomana achidiridza muriwo achiridza zvake muridzo, ndokumudana kuzomubvunza kuti ane musikana here, ndipo pakatangira nyaya mukomana ati haana kumbovata nomunhukadzi zvikahi unoda kudzidza here.

Asi hazvina kusiyana nomurume anovata nomusikana webasa. Mai ava vakaita mimba vanongopomera murume wavo. Varume havagoni kupomera mukadzi kana musikana webasa aita mimba.

Hwisisazve kuti mukomana webasa uyu haagari achirhoja nokuti haana mukadzi. Saka akapiwa chanzi namai vemba urume hwake hunenge hwakatokora chose zvokuti kana zai riri pedo vanoita mimba naye nokukasira. Hwisisazve kuti RESEARCH inoti vanhukadzi vanowedzera zemo chose panguva yokukandira zai saka ndiyo nguva yavanowedzerawo kuhura kana vachigarohura. Zemo rine simba kupfuura fungwa pavanu vakawanda, zvokuti unozotanga kudembademba watopedza kuiswa, ipapo kondhomu hapana saka zuva rinozovira urume hwava muchibereko kunosangana nezai, mwana wototaka kuumbwa, ipapo murume ari Joni kubasa. Ndipo unoona mukadzi okwira bhazi kuenda kumurume kuti ambowana mukana wekuvata naye kuti agoti mwana ndewemurume.

Kunongozotiwo chimwana chazvagwa woona chine mumhu wakasiyana nezvimwe zvana, asi kuti ubvunze kuti zvakafamba sei nhai mai chimwana, haubvunzi nokuti fungwa yako haidi kufunga kuti mukadzi wako akambovata nemukomana webasa aimbova pano.

Hino mazuvana kwava ne DNA TEST saka chenjerai vana mai vemba kuti kuvanza chihure chinoitisa mimba hazvichaiti.

Kozotiwa uya mukomana webasa wawaravidza zvinhu musi waanogogodza paBEDROOM yako murume wako asipo achikukumbira kuvata newe hauzokwanisi kuramba nokuda kwekuziva EXCITEMENT yaakakutaridza nokukupa musi wekutanga, yauchisapiwi nomurume wako. 

Mazuvano:
Kune vanhu vakawanda vakambovata nomushandi vamwe vakapedzisira vatoroorana naye mukadzi/murume ashaika kuna kurambwa.  Nyaya inoitika pachihure ndeyokuti nyakuhura anenge achitoziva kuti zvaari kuita zvakaipa asi kuti arege, zvomunetsa.  Mufungwa make anozvipa chokonzero chokuhura kwake kuti aone sokuti hazvina kunyanyoipa sezvinotaugwa navamwe.

Vanhu vanohura nevanhu vavanoziva kuti havakwanisi kuramba vanhu vanofarira ABUSE yevamwe vanhu. Ukaona saimba oda kubvisa musikana webasa bhurugwa, ingari yokuti anoziva kuti musikana webasa anohwisisa kuti akaramba basa rapera. Ipapa ndipo panobva ABUSE. Munhu asingakwanisi kuzvisarudzira zvaanoda ari kubatwa chibharo. Musikana webasa pakadai haana simba rokuudza saimba kuti vapfeke kondhomu. Anokwanisa kungoiswa pasina ambomufungirawo kuti angangoita mimba. Akaita mimba anodzingwazve basa saka nyaya yake yatova pakaoma. Panofanira kuva nomutemo unorambidza zvakadai kuitika. 

Mai vemba vanonotora mukomana webasa vouya naye pamubhedha wemuchato, kana kuenda kumubhedha wake, vanenge vahwisisa kuti iye anoziva kuti akaramba anodzingwa basa. Izvi zvinoreva kuti munhu asina chaanokwanisa kuita panyaya yacho.  Mazuvano inonzi ABUSE. Kuvata nomunhu asina simba rokubvuma kana kuramba zvakangofanana nokumubata chibharo. Mukomana uyu kana kutaurira vamwe kuti akavata namai vemba haakwanisi nokuti zvikazikamwa kuti audza shamwari, anokwanisa kusungiswa kuti akarhepa mukadzi uyu, kana kudzingwa basa. Kubatwa chibharo hakunakidzi. 

Kana murume/mukadzi asipo kwenguva yakareba, ukafunga zvokuvata nomushandi ukanomutora muimba yake yokugara ukamubvisisa bhurugwa nokuvata naye, wamuisa pakaoma. Ukaita mimba uchaibvisa ugouraya mwana wake. Ukamuitisa mimba uchamudzinga basa agobva ane mwana waasingakwanisi kuriritira.  Hazvina kusiyana nomunhu anoona musikana achizvifambirawo hake kuenda kunotsvaka huni, obva amubata chibharo amuratidza banga kana pfuti.

Mazuvano, kuziva kuti ABUSE iriko hakuna kumisa vanhu kubatwa chibaro mudzimba umu.  Zvakatowedzera. Mazuvano chero zvivana zvechikoro zvakasiiwa zviri nherera zvinotoudzwa kuti kana zvichida kupinzwa chikoro ngazvivhure makumbo. Kuziva kuti mwana haana kumwe kwaanokwanisa kuenda chinhu chinoitisa kuti vamwe vakuru vamubate chibharo chisingaudzwi mapurisa. Ndipo patasvika murudzi gwedu asi musafunga kuti kune dzimwe nyika hazviko. Kunyika dzekuEurope zviriko zvakadai asi kungoti isu kare taimbova nounhu.

Mushandi akaenda kumapurisa akavaudza kuti abatwa chibharo namai vemba, ndiye anosungwa. Ari mukadzi akavaudza kuti abatwa chibhario nababa vemba, anoudzwa kuti ndiye abvisa ega bhurugwa. Inyaya isingagadziriki, asi hwisisa kuti ukagumbura munhu anobika mumba mako akagumbuka kusvika pakusava nehanya noupenyu, anokwanisa kukuuraya iwe uchitofunga kuti ndiwe shasha yekubata chibharo. 


Chokuita kuti usahurigwa nomunhu ari pamba pako.
Tsvakai mushandi ari pazera risingaiti. Mumba tsvaka munhu akura zvokuti kana mimba haachaiti.  Mununguna haaiti kumukumbira kuti azogara pamba achirera vana. Anopedzisira amitiswa  nomurume wako.

Pagadheni tsvaka chikomana chine mukaka pamhino kana kuti munhu akurawo chose oda pokungochengetwa achiwana kamari kake. Zvokutsvaka mukomana akagwinya bodo. Zvinoda kana mai vemba vachishandawo basa rokuti havawanzi kuva pamba murume ari kubasa.

Hatisi kuti hakuna vanhu vane vashandi vavasingavati navo, asi kuti kana waziva kuti umwe wako ane meso meso, chirega kumuisa pamuedzo mumba mako chaimo. Kana uchida munhu wekusuka ndiro enda unotenga DISHWASHER, wotengazve WASHING MACHINE, wotenga muchini wekuaina, basa romumba roita nyore.

Mugadheni, kana usingagoni kurima muriwo, ndipo paunotsvaka mudhara asingamiri chombo iota zvemuriwo achingouya kaviri pavhiki. Womupawo muriwo wekunobika kumba kwake.


Vamwezve
Toonazve vamwe vanoda kurerekera panyaya iyi ndevava vanofanira kusungiswa kana kuripiswa. 
Mukuru pabasa anogarovata nevashandi vake zviri zvokuti usadzingwa basa pasina rudo
Ticha anovata nezvana zvechikoro (should be shot dead)
Mupurisa waSabhuku anovata nemvana dzomuraini. 
Headteacher anovata nema NEWLY Qualified Teachers kuti agonyora ma report avo. 
Mudhara anobhadhara FEES yenherera/ mwana murombo kuti agowana kuvata nenherera iya
Mupurisa anoudza munhu kuti akavata naye mhoswa haichaendi mberi
Munhu anoda kuvata nomunhu amukumbira LIFT, zvisiri zverudo asi kuti mufambi haana imwe nzira yokufambisa musi uyu. 
Kana uchida kuti ndikubatsire nezve PASSPORT APPLICATION yako chimbovata neni
Kana usina kwekuvata uya uvate kumba kwangu asi wondigadzirirawo zvinhu. 

Vanhu vakadai dai zvaikwanisika kuti zviitike dai vaingobata zvigwere pese pavanoita utsinye kudai. Kubatsira munhu apinda dambudziko hazvirevi kuti womuwedzera dambudziko nokuda kumurhepa. Kana wafunga kubatsira munhu chiita zvokubatsira. Kana wafunga kunyenga, nyenga muwirirane parudo. 

Wedzerai tihwe 

UDZAI VAMWE!!!!!

Kuisana pabasa
Kukwirana pabasa
Kuiswa muhofisi
mukomana webasa namai vemba
Musikana webasa nababa vemba
 kuvata nababamunini
 kuvata nagarden boy
kuvata nemukomana wemombe