Wednesday, 4 September 2013

Zemo romunhurume

Zemo romunhurume rakasiyana kuonekwa kwaro neromunhukadzi  asi zvinoitika mukati memuviri zvakangofanana. Zemo rinotanga mufungwa asi raitiswa nezvafungwa kana kuonekwa nomuridzi. Vakadzi vanowanza zemo rokungofunga pasina zvaonekwa, nokuti kufunga kwavo panyaya dzokuva nomurume kwakawanda. Varume vanowanza fungwa dzinotanga kubva pane zvavaona. Murume anohi muvhimi anogara achida kuona zviri kuitika. Murume akaona mukadzi waanofungira kuti akanaka fungwa dzake dzinomhanya kumuona asina kupfeka kana kuti avete naye zemo rototanga.

Zvinoitisa Zemo romurume:
Kuona mukadzi anomufungisa zverhoji. Chinomufungisa izvo pakuona mukadzi chingave chinhu chidiki diki sokuti
Ane magaro akanaka kuona
Ane muromo wakanaka kuona
Ane chiso chakanaka kuona
Mafambire ake anoitisa zemo kuvarume
Kunyemwerera kwake kunopa murume zemo

Chechipiri murume akaona mukadzi asina kupfeka anokwanisa kuita zemo. Asi ndombohwa varume vachiti zemo rinowanda kana mukadzi waari kutarisa ane zvipfekwa zvishoma pane asina zvachose.

Kuona pikicha yevakadzi vasina kupfeka.

Kuona mafirimu evanhu vari kurhojana. Kune varume vakawandisa vanotobhadhara mari kuona izvi asi ipapo vane vakadzi mudzimba.

Kunhuwidza hwema hwepamberi pomukadzi. Bhinzi yomukadzi inogarogadzira hwema hunoti chero ukaisa perfume yakadii hunongohwikwa nevarume. Kazhinji havazivi kuti chii chamisa chombo nokuti hwema uhu huri pasi pasi. Kana iwe mukadzi ukamboita zemo imwe nguva, ukazobuda wovhengana nevanhu, unenge une hwema hwerhoji huri pakakwirira zvokuti varume vakawanda ukagara navo mubhazi kana mota vanongomira chombo vasingazivi kuti chii chiri kumisa chombo.

Kuona mhuka dzichiisana kunomisa zvombo zvevamwe varume kwete vese.

Kuverenga nyaya dzokuisana kwevanhu kunokwanisa kuitisa murume zemo.

Kudyiswa mushonga wekumisa chombo. Mazuvano kunyika dzakawanda kune mishonga inoti murume akadya anomira chombo nguva yakareba. Mishonga iyi inokwanisazve kuitisa HEART ATTACK saka musaijara, zvikuru kana usina kuudzwa kuti shandisa naDOCTOR wako.

Kana murume aita zemo
Kana zemo ratanga mufungwa, shoko rinotumigwa kuzasi kundoudza pamberi kuti gadzirira kupinza chombo mumukadzi wawaona. Hazvinei kuti mukadzi wacho waonekwa munhu chaiye here kana kuti ipikicha zvayo iri papepa.

Murume anotanga kumisa chombo ari mudumbu mamai vake ozvagwa okura achingomisa chombo chero achiri mwanana asingazivi kuti chombo chinopinzwa pai. Ukarera chimwana chikomana chidiki uchaona kuti pachinoda kuweta, chombo chinomiswa neweti. Izvi hazviitiki kuvanhukadzi.

Kozoti akura kusvika makore anoita gumi nemaviri kana kupfuura, anotanga kukura chombo mabhora ake orembera okurawo, ihwi rake roderera oita zvokutaura somurume. Zvadaro anotanga kugarorota nezvavakadzi achiti akarota obudisa urume. Anotangazve kuhwa kuda kubudisa urume kana akasvinura zvinoita kuti atange kuda kutamba nechombo chake. Vakomana vanoita 95% vanozvibudisa urume pazera iri. Vasikana vanotambisa bhinzi dzavo panguva iyi vanoita 80%.

Kuzobvapo mukomana achikura anofanira kugarobudisa urume ega kusvika aroora ndipo paanoda kugarorhojana nomukadzi wake. Ichi chinhu chokuti vanhu vaviri ava vanofanira kuvata vese chinhu chinonetsa vakawanda zvokuti ukagarisa usina kuwana wekuvata naye chero uchigarozvibatsira unongohwa muviri uchida kuva norubatsiro kubva kune umwe munhu.

Murume zemo rake harihwisisiki zvakanaka asi kungoti kana wakaroorana naye ongorora nguva dzaanoda kuvata newe woona kuti wamubudisa urume. Murume anogarobudiswa urume haana hasha uye zvigwere zvinoita zvishoma. Murume anochengetedza urume mumuviri RESISTANCE yake yezvigwere iri pasi saka anogarobata zvigwere kazhinji asi havasi vese.

Kana murume aita zemo, chombo chinomira chega pasina ambochibata bata. Zvadaro kana ukachibatabata, unoona chichiwedzera kumira Pamwe chinoti Gwi, gwi, Gwi  mumaoko ako. Ukaramba uchipurudzira unoona sokuti murume haana CONTROL yechombo chake.

Ukuwo ukamutarisa maziso unoona seane kaLayer kemusodzi. Kana wakambotarisa murume wako ane zemo unoziva wega kuti munotaurirana nokutarisana chete asi muchitohwisisana pasina anotaura nokuti wega unoziva kuti murume ava nezemo.

Muviri wake unomira tumvere turipo zvokuti ukamupurudzira magaro minyatso, makumbo zvakangofananawo nezvinoita vanhukadzi, anowedzera zemo, chombo chowedzerawo kuoma.

Ukaramba uchimurezva uchaona pachombo pake pava kubuda oil yakatsetseka chose kupfuura inobuda pachitubu chomukadzi. Oiri iyi inotakura urume zvokuti ukaisiigwa mukati mako unokwanisa kuita mimba ipapo mazoshandisa kondhomu. Unokwanisazve kubata chigwere kana ane chigwere.

Kana murume akaita zemo rakawanda akasabudisa urume, anokwanisa kugwadziwa nemabhora ake, iri nyaya yokuti muviri wange woda kubudisa urume iye ndokurega saka urume hwuya hunofanira kutogwazve nomuviri (ABSORB), zvinova ndizvo zvinogwadza. Kana ari murume wako ukaona aita zemo mupe mukana wekubudisa urume. Kana musina nguva yokuisana ukamubata bata chombo anokangamwa zvenguva otokurhoja chete. Zemo rine simba kupfuura fungwa.

Kana aita zemo iwe uri kumwedzi shandisa maoko ako kana kumukwiza chombo nemazamu ako, kana kumuputira chombo nemazamu, iye okoira seari kukoira chitubu kuti abude urume. Mazamu ane ganda rakatsetseka uye anodziya zvokuti kana une mazamu makuru hazvinetsi kuti murume akupe chombo iwe woputira wakachiisa pakati pemazamu, mowana mukana wekuti iye achikoira iwe uchikwhizirira nemazamu kuti urume hubude zemo rake ripere. Kana une mazamu madiki zora mafuta mumaoko womuvanzarika nomusana chombo chakati twii mudenga, womukoirisa maoko ako uchipota uchiisa puresha kuti kukwiza kuwedzere. Usamugwadzisa.

Kana usiri kumwedzi munongovatana henyu monakigwa mese. urume hunobudira mukati mako zvinova ndizvo zvaafunga kuti aite zemo racho.

Zemo remurume hariwanzi kunetsa kubvisa chero nguva iri shoma ukamuudza kuti kasira kupedza tiende kubasa, anokasira. Asi hachisi chinhu chakanaka kugaroudza murume kuti akasire  nokuti anozokukasirira mune nguva yokuti akunonokere unakigwe. Kana uchiziva kuti murume wako anoita zemo mangwanani (varume vashomanana vasingaiti zemo mangwanani kuma 5 kuseni) kasira kuvata kuti ugokasira kumuka moisana pachinenguva momboita kahope ke awa imwe chete, mozomuka muenda kubasa.

Zemo romurume harinetsi kuziva kuti anaro nokuti wega unongoona chombo chati twii wototanga kumunemera nokumukurudzira kukubatabata kuti uitewo zemo.

Murume haawanzi kukwanisa kuvanza zemo rake kana kukwanisa kukunyebera kuti urume hwabuda nokuti wega unoeredza kana azobudisa chombo muchitubu apedza kukudiridzira. Saka zviri nyore kuziva kuti uri kukwanisa murume wako here kana kwete.

Murume kana avete chombo chinomira kanokwana 8 times asingatombozivi kuti chamira. Kana ange asina kumbotapudzwa urume, anokwanisa kungobuda urume panomira chombo avete asi zvinoitika kamwe chete pausiku uye hazviitiki mazuva ese. Murume kana uri kumwedzi ukasafunga kumubatsi nemaoko, anokwanisa kungobuda urume avete, ziva kuti uri kutadza basa.

Murume anoita zemo diki obva apera zemo futi nguva shomanana. Hino isu tikabata zemo rinokwana kuita awa yese wakazvimbirira zasi chero bhinzi yavata hayo. Zemo romurume rinoda kugarofidhwa nomukadzi wake kuti asafunga zvakawanda zvokuzhe uko. Zemo romurume chinhu chakanaka chose mumba nokuti zvinobatsira mese. Kana mambotsamwisana paya ukashaya mukana wekutaura naye ukamirira pakunovata, kana uchinhuwirira zvakanaka wambogeza, unokwanisa kuitisa murume zemo.

Kana murume achigarodya zvokudya zviri fresh anowedzera zemo. Isu tisu tinobikira varume vedu. Ngatitore nyaya yokubika iyi senyaya yakakosha. Tisu tinoda kuti murume akwanise kuva nezemo mumba. Tisuzve tinoda kuti muruma kana atanga kuvata nesu akwanise kuva nourume hwakawanda. Kana asina anofidha zvakanaka muviri haukwanisi kugadzira zvese izvi.

Saka tinei nazvo isu? 
Hwisisa kuti dzimwe nguva iwe uri kuda kuvata nomurume, iyewo ari kuda asi chombo hachina simba. Pakadai unofanira kuwana mukana wekuwedzera zemo rake. Muudze nyaya dzerhoji. Sokuti pane umwe musi waakakurhoja zvakakufadza chose, muudzi kuti waihwa sei achikukoira. Varume zvokukudzwa panyaya iyi zvinovaitisa zemo futi.

Poitazve kuti kana uchingoda kuti murume aite zemo unokwanisa kumukonzera kuti awane hwema hwepabhinzi yako, Ukazvikwizirira ukanogara pedo naye anokwanisa kuhwa hwema hwako otanga kuita zemo. Nyaya yehwema iyi kunohi kune vanhu vaya vamunoona kuti haana runako asi anongogaronyengwa nevarume, muchitoshaya kuti vanoonei paari. Zvinohi vanhu vakadai vane bhinzi dzinowanza hwema hwacho kunitisa varume zemo. Vakadzi havahwi hwema hwevakadzi.

Zvinohi kana mukaisana paya mukatanga kuita chimwe chinhu makamirira kuti murume amirezve chombo, ukakwanisa kuti uku wakavhura makumbo, uku wakafukidzira murume nejira zvokuti ari kuhwa hwema hwese huri kubva pabhinzi yako, anokasira kumira chombo.

Hwema hwatiri kutaura hahubvi muchitubu asi pabhinzi hunohi pachirungu  pheromone.

Kana uchitenga nhumbi dzokupfeka, funga kuti chii pamuviri wako chinoti murume wako akachitarisa oita zemo. Pfeka nhumbi dzinochitaridza murume.

Ukaudza murume zvaunoda kuti akuite uchishandisa mahwi akakodzera kumuitisa zemo anoita zemo.

Iwe muridzi wemurume wana mukana wekuitisa murume zemo. Wadaro ugoribvisa futi.

Wedzerai vanowedzera!!

Udzai Vamwe!!!!!

Sunday, 1 September 2013

Kuwanzisa kunyorova pakurhojewa

Vakawanda venyu vari kubvunza nezvenyaya yokuwanzisa kunyorova kana waita zemo kana kuti muchirhojana nomurume. Iyi inyaya yedu tega asi ukaterera varume vachipopota nezvazvo unohwisisa kuti ivo vanoshushikana nenyaya iyi.

Pakurhojana panoitika nyaya dzakawanda dzinoshusha vanhu zvokuti dzimwe dzacho hadzina ane hanya nadzo asi dzinokwanisa kukushungurudza, zvikuru kana uchifunga kuti ndiwe wega uri kuzviita. Pozotiwo dzimwe nyaya dzinoenderana nokudzvanyirigwa kwevanhukadzi nokuda kweCULTURE yedu nedzimwe dzinoitiswa nouGINO hwevaiti panyaya dzemashandire emiviri yevanhu (BIOLOGY) zvokuti vakawanda vanotadza kuhwisisa kuti zvimwe zviitwa zvavo zvinokuvadza muviri.

Nyaya yokunyorova murume asati apinza chombo inyaya inofanira kuti uihwisisa zvakanaka uye kukurudzira murume wako kuti azive kuti unofanira kunyorova asati apinza kuti zvirege kukugwadza kana kukutsemura tumitsetse (very thin skin cracks inside) mukati mechitubu zvinova zvinokwanisa kukubatisa zvigwere. Chinozoitika ndechokuti vamwe vedu havanyorovi zvakakwana kusvika pokuti vanotoda kuwedzera kunyorova kwacho nokuisa mate kana kuti imwe inohi KY jelly inotengwa muCHIMIST. Ndakanyora kare nenyaya yevasinganyorovi saka kana uchida kuiverenga enda hako uverenge pakahi "Mukadzi asinganyorovi" Ndichaisa link yacho kana ndapedza kunyora pano.

Kozoitazve vamwe vanoti akaita zemo obva atanga kunyorova zvokusvika pakueredza chaiko zvokuti pamunoisana mese munokwanisa kusanyanyonakigwa nazvo. Munosvika pakutoti mopota muchimira mukadzi wombopukuta motangazve, onyorovesazve, momira opukuta, muchingodaro kusvika mapedza. Kunyorovesa uku ndiko kwatiri kuda kumboongorora panyaya ino kuti tione kuti pane chingabatsira here vanozviita nevarume vavo kuti vawane mazano.

Kunyorova haisi mvura asi ioiri yokuti mukati mechitubu mutsvedze apo muchikoirana chombo chichipinda nokubuda chichikwizira madziro echitubu, mukadziwo achipota achishinya chombo kuti chiwedzere kukwiza kuti munakigwe nazvo. Pakashaikwa oiri iyi mese munokwanisa kusvuuka mokuvadza ganda romukati mechitubu, mangwana mutadza kuisana makamirira kuti mukadzi apore. Saka DESIGN yacho yechitubu inoti ukangotanga TRIGGER yezemo mufungwa, sokuti pauviri hwenyu ukangoona chinhu chinokufungisa kuiswa, usati watombofunga kuti unoda kuiswa, kuzasi kwenge kototanga kunyorova. Kunotanga fungwa yako yokuda kupinzwa chombo isati yatombonyatsokwana. Zvakafanana nokubwaira kwemaziso kokuti hautombozivi kuti wabwaira. Saizvozvo hauzivi kuti watanga kunyorova.

Saka apa taona kuti vanhukadzi pakunyorova vane mabato matatu
1 Vasinganyorovi vanova vane dambundiko guru.
2 Vanonyorova zvakakodzera zvinova zvinofanira kuita vese vese
3 Vanowanzisa kunyorova zvinova zvatiri kutaura nazvo pano.

Kuwanzisa kunyorova kunoitiswa nei?
 1 Kana ukatanga kushandisa mapiritsi ekudzivirira mimba unokwanisa kuwedzera kunyorova kana kuwedzera kusanyorova zvichibva nomuviri wako.
2 Kana ukachinja mapiritsi ukatanga kushandisa erumwe rudzi

3 Pamwe zvinoitiswa nenguva yako yemwedzi. Vamwe vakadzi vanowedzera kunyorova pakati pomwedzi kana imwe nguva.

4 Uri munhu anoita zemo rakawanda zvokuti unonyorova kusvika pakuvhinza.

Kana waisambonyorova sezvauri kuita iko zvino zama kuongorora kuti zvakatanga riini ugoona kuti pane chimwe chinhu chakatangawo nguva iyoyo here.

Kuti uone senyaya inonetsa unenge uri munhu aimbova ainyorova zvaunofunga kuti ndizvo zvakanaka ndokuzowedzera. Kana wange wagara uchingonyorovesa, haungazvizivi kuti zvakaipei kana pasina murume akuudza, kana kuti wakaterera vamwe vasikana vachitaurirana.  Kune varume vanotaura nezvazvo dzimwe nguva vachiti mukadzi ane mvura yakawanda haanaki. Hino iwe ukahwa zvakadai ukafunga kuti haunaki zvokudya moyo wofunga kuti zvinobva pakunyorova kwakawedzera, izvo kunyorova kwako hapana chakwakaipa.

Kazhinji munhu anonyorovesa akavata namanhede pakurhojana nomurume, murume woinda pamusoro voitana vakadaro, pavanopedza pamubhedha panenge panyatsonyorova kuita guvi. Tese tinonyorovesa hedu mubhedha zvokuti tinotofanoisa tawero pasi pechiuno kuti mubhedha usanyorova zvingakwanisa kushaisa hope. Vamwe vanoitisa guvi. Ndizvo zvinonetsa vamwe izvozvo. Psychology yedu inotinetsa kana mubhedha wanyorova pabasa. Zvoita sokuti kunyorova kuya kwabva pamwe pasinei nezvamange muchiita.

Varume vekumwe
Kunyika dzakaita seUSA, EUROPE varume veko vanotowedzera zemo kana vakaona mukadzi awanza kunyorova nokuti zvinoratidza kuti ane zemo rakawanda kureva kuti anoona murume somunhu anoti akamutarisa oita zemo. Murume ari SEXY. Havatombozivi kuti zemo ndiro haro asi mukadzi munhu anongonyorovawo hake kudarika vamwe zvisinei kuti ane murume upi. Varume venyika idzi vakawanda vanotofarira kuona mukadzi akanyorova.

Varume vekwedu
Vokwedu varume vanoda mukadzi asinganyorovi wavanogwadzisa pakupinza chombo. Mafungire evedu varume ndeekuti mukadzi ngaakauriswe nechombo. Zvokuti anakigwe sezvinoita murume zvoonekwa sokuti kumujaidza. Kotiwo vakuru vedu kumadzimai vaiva neCUSTOM yokuderedza kunyorova vachitotsvaka mishonga yokuti mukati musanyorova kuitira kuwedzera kukwizana kana murume ari mukati. Zvaiitisa kuti murume kana oda kuvata nomukadzi wake aisambotora nguva achirezva mukadzi kuti anyorove asi kungobata mukadzi womupatsanura makumbo wopinza chombo zvokufosera mukati, sezvinoita mhuka dzesango kana mabhuru emuraini. Vakadzi vaionekwa sokuti varipo kunakira murume chete kwete kuti vanakigwe nomurume.

Vakadzi vakaona kuti nyaya iyi haigadziriki ndokutanga kutsvaka mazano okuti murume ambomiramira achicherekedza pamberi pamwe achipabatabata akamirira kupinza. Ndipo pakabva nyaya yokudhonza matinji kuti murume ambowana chokukatyamara nacho mukadzi achifanonyorova. Hazvina kushanda nokuti varume havadi kutarisa pamberi pomukadzi. Vakadzi vakapedzisira votsvaka mishonga yokudzivirira kunyorova kuti tese tifanane pakusanyorova.

Ukaenda kumamisha unohwa vakadzi vachipanana mazano okusanyorova.
Kwahi cheka cheka sipo yejerimani wondonyera muchitubu nguva ichipo, wozobvisa kana moda kuisana
Vamwe vanochera midzi vonyika mumvura vogeza nayo zasi manheru voda kundovata.
Vamwe vanogeza nemvura ine munyu.

Varumewo unohwa vachinyora mwadhi vachiti
"mukadzi wangu imvura dzega dzega, ndodii. "
"Musikana wangu anowanzisa mvura, ndodii"

Zvinobva pakuti haasi kushinywa chombo kana ari mukati, kana kuti ane kachombo kadikidiki kanoita sehove iri kudhidha mubhavhu kana ari mukati memukadzi kana upi zvake. Murume ane chombo chiri pasi pe 8cm pakukora anoita dambudziko iri.

Zvese izvi zvinoiswa mukati mechitubu zvinokuvadza ganda remadziro echitubu. Zvinokanganisa LINING yemukati mechitubu. Zvokangansazve PH yomukati mechitubu zvokuti unokwanisa kutadza kubata mimba kusvika PH yagadzirika. Tinofanirazve kuziva kuti maitire awa ese haana RESEARCH yakaitwa vanhu vasati vatanga kuudzana kuzviita. Mukati mechitubu munofanira kungopinzwa chombo neTAMPON chete Zvimwe zvese regai kupinza. Kana mvura haifaniri kuiswa mukati mechitubu.

Kusanakigwa nokunyorovesa.
Ngatitange apa nokuti vanhu vane dambudziko rokusanakigwa kana mukadzi anyatsoeredza vashoma. Zvinoonekwa kuti pavashoma ava kunyika dzakaita seUSA zvinoitisa kuti vese vasanakigwa zvinhu zviviri zvinoti:

1 Murume akachekwa ganda saka hapana chinokokokota madziro achitubu chomukadzi pakupinda nokubuda kwechombo vachikoirana. kuUSA varume mhomho yese vanochekwa.
2 Kana murume ane chombo chisingazadzi chitubu chomukadzi wake kana kuti mukadziwo asina kusimbisa masuru yechitubu asingagoni kushinya murume wake. Zvinoreva kuti kukwizana mukati makanyorovesa kunonetsa kuzhe kwekuti pakukoirana kwavo vanoita maitire anoti chombo chinobata kumativi, kwete kururamisa nepakati. Itai umwe akatsveyama.

Mazuvano
Mazuvano nokutsvangamuka kune varume vashoma vava kutozivawo kuti kunakira mukadzi chinhu chakanaka nokuti anowedzera kukuda. Saka vamwe vava kumirira kuti mukadzi anyorove uye vava kuziva kuti kubatabata mukadzi muviri wake nokumbomukisa nokumwa minyatso yake nokupurudzira zvimwe nokukwenyerera pamberi, zvidya, kuseri kwemabvi, nokumbomiramira pabhinzi zvinokwidza zemo nokuwedzera kunyorova. Paanozopinza mukadzi anokasira kusvika panosvikwa. Varume vemazuvanowo vava kuverenga zvokuita mumabhuku uye paINTERNET. Koitazve vanoona mafirimu anohi epono anotaridza nhema zvokuti varume vanozviona vanofunga kuti havagoni kuisa. Izvi zvava kuitisa varume kuda kuwedzera unyanzwi hwavo parhoji.

Asi nyaya yokueredza kwemukadzi unongotaugwa zvichiita sokuti chinhu chakaipa. Kueredza chinhu chakanaka pakuti kukwizana kwechombo nemadzirpo echitubu kunoita kushoma murume wononoka kupedza. Asi iko kuderedza kwacho ndiko kunoita varume vakomburene nazvo. Kunesu vanhukadzi chikuru kuona kuti bhinzi iri kushandiswa pamunoisana. Murume anosvinyanga bhinzi kana kuti mukadzi anozvikwizirira bhinzi murume achikoira, kana kuti murume anotsimbirira bhinzi akavata pamusoro pemukadzi zvokuti pakukoira anokwiza kana kutekenyedza bhinzi.

Zvokuita kana uchifunga kuti unonyorovesa. 
1 Chokutanga ndechokuti ukafungira kuti uri kuwanzisa kunyorova, taurirana nomurume wako muhwisisane kuti zvinokonzegwa nei uye iye anofungei nazvo. Kana achizvifarira iwe chirega kuita hanya nazvo. Rega zemo rikwire ueredze zvakadaro.

2 Musati matanga kuvatana tora tawero guru uise pamubhedha. Pamwe ungada kupeta tawero rako kuti kunyorova kusasvika pamubhedha.

3 Torazve chimwe chitawero chidiki chinogara pedo kuti ukahwa kuti kuzasi kuri kuwanza wopota uchipukuta. Pukuta murume asati apinza pokutanga. wozotizve paya pamunombomira muchichinja maitire, wopukuta futi.

4 Ukaenda kwaDoctor, zvikuru munyika dzakaita seUK, USA, unonoudzwa kuti siya zvakadaro. Izvi hakusi kuti havahwisisi zvauri kutaura asi kuti vanoona vakadzi vakawandisa vane dambudziko rokusanyorova zvokuti iwe ukazoenda uchikomburena nokunyorova vanoona sokuti unodada. Vanozivazve kuti kana wava kutanga imwe nguva inohi MENOPAUSE unokwanisa kuoma zvinokutadzisa kupinzwa chombo saka vakafanokubatsira kuoma, paunozotanga nguva iyi unowedzera kuoma zvinova zvinokunetsa. Kana wafunga zvokuenda kwaDOCTOR, enda kune inohi SPECIAL CLINIC kunorapiwa zvigwere zve chihure nokupiwa makondhomu. Ikoko vaudze kuti une dambudziko iri. Vachakubvunza mibvunzo yezvokudya zvako nemapiritsi auri kumwa kana kuti awakambomwa vokuudza kuti zvabva papi. RHIZENI yokuenda uku ndeyokuti kune madhokotera echikadzi akawanda. Asi rega ndikuudze kuti havaoni sokuti kunyorova idambudziko. Vanotoona sokuti chinhu chakanaka chose.

5 Hwisisa kuti kunyorova kwauri kuita hazvirevi kuti uchagara wakadaro. Makore ako okuzvagwa achiwedzera kunyorova kunoderera. Kuderera uku kunowanzotangira pamakore 40 muviri woziva kuti hauchinei nokuita mimba.

6 Tanga nokusimbisa masuru. Verena pano pa BLOG pakahi kusimbisa masuru. Tanga kuzviita. Zvinobatsira mese pakuisana.

7 Shandisai maitire asinganyanyi kuvhura chitubu, (Pakicha makumbo ako pamafudzi ake kana uri pasi. Kana wakavata nedumbu rega kupatsanisa makumbo. Ingosimudzira chiuno chete apinde, adaro shinya chombo makumbo ari pamwe chete iye akakutanyanga. Ukafongora makumbo ngaagare pamwe uwane mukana wekushinya chombo. Kana wakavata nedivi wakamufuratira gonyesa makumbo asi ngaagare ari ese. Zvinokuitira nyore kushinya chombo.

8 Unokwanisa kumwa mushonga wegosoro unohi ANTIHISTAMINE unononotsa kunyorova asi muviri wako ukazozvijaira, zvinozokunetsa kusaishandisa.

9 Geza nemvura inotonhora pakugeza paya musati matanga. Kana mune firiji gadzira ma ICE cube woisa mumvura yokugeza pamberi kuti itonhore chaizvo, kana wada, isa ICE CUBE pamberi wapedza kugeza. Paunozoita zemo ropa rinenge riri kure. Usaisa Ice cubu mukati mechitubu chero zvodii.

10  Jairira kuiswa wakafongorera murume. Ropa riya rinomhanyira zasi rinoita shoma saka hakuwandi kunyorova sezvaunoita kana wakavata manhede. Chimwezve kupakicha makumbo pamafudzi emurume mabvi ova pachifuva. Wokurudzira murume kuti asangopinda nokubuda akarurama asi kupota achiita seari kukurunga bota.

11 Pakufunga zviri mberi uko chinja zvokudya zvako uwedzere muriwo (Green veg) wodya muriwo yakasiyanasiyana. Muriwo ine zvinoitisa kuti mukati mechitubu muve REGULATED zvakanaka. Zvadaro bvisa fungwa yako pazviri ungoisa fungwa pakufadza murume nokunakigwa kwako.

12 Hwisisa kuti chese chinoitika pamuviri wemunhu chisingadiwi kana kuti chisingasiitiki pamunhu, chine chikonzero. Kazhinji zviri pazvokudya zvako kana kuti pazviito zvako saka ukahwisisa nyaya yako unokwanisa kuigadzirisa.

13 Hwisisazve kuti kusanyorova chinhu chisina kunaka. Kuwanza kunyorova chinhu chisinganakidzi vamwe asi hachisi chinhu chakaipa. Pachaita nguva yauchatadza kunyorova uye achagwadziwa pakupinzwa chombo. Varume vanofarira kuvata nevakadzi vavo upenyu hwavo hwese asi vakadzi vanotambura ne MANAGEMENT yechitubu kana vava kumakore anopfuura 40.


Zvokusaita:
Kuisa sipo mukati mechitubu
Kuisa munyu mukati mechitubu
Kuisa chimwe chinhu mukati.

Unozvikuvadza nokuda kuwedzera kunakigwa wozopedzisira woita makore nemakore usingagoni kuiswa nomurume wako. Usazouya pano woti unoda mazano okuti murume asakuhurira. Munhu chengetedza maturusi ekufadza nawo murume. Kana zvichikunetsa wedzera chikapa. kwira murume, simbisa masuro, dzidza zvimwe zvokunakira murume nazvo kwete kuzvikuvadza.

Ndicharamba ndichitsvaka mazano okuita kuti dambudziko iri riite shoma asi zvokuomesa chitubu regai, zvikuru kana uchivata nomurume pachihure nokuti kana ane chigwere unokasira kuchibata kana chitubu chisina kunyorova.

UDZAI VAMWE!!!!!

Saturday, 17 August 2013

Chibereko chiri padivi

Ndoda kumboongorura dambudziko rechibereko chomunhukadzi chakarerekera kurutivi. Kune mabato maviri anoti

Retroverted uterus
Retroflexed uterus

Asi dzimwe nguva vatauri vanoti 
Tilted Uterus 
Tiped Uterus


Ngatitange nokuhwisisa kuti chibereko hachina kunyatsosungwa nemabhaudhi sezvakaita injini yetarakita kana bhazi. Pachiri chakagobatwa nebharanzi yemamasuru zvokuti chinokwanisa kufambafamba zvichibva nokuti murinda ari kuitei. Saka chibereko chinokwanisa kutarisa padivi uye kurerekera kumashure mukova wotarisa padivi.







Kuvanhukadzi  zvinoita kuti chibereko chinge chakarerera kumashure kozoitawo mukova wechibereko panova panobuda nomwana muchibereko pakuzvara, unokwanisawo kutsveyama zvokuti hauchatarisi pakaruramana nechitubu chinopinda chombo. Kune vati kurei kusvika makore anoita 50dambudziko iri rinowedzera kuwanikwa mavari asi hazvirevi kuti tese ndiko kwatiri kuenda. Vamwe havazviiti. 

Tarisa papikicha uone kuti papikicha yokutanga inoratidza chibereko chakagara zvakanaka chakarerekera mberi zvokuti
1 Kana ukavata nemanhede murume akakupinza chombo zvinoonekwa kuti paanokupa urume, hunonoungana pedo nomuromo wechibereko.
2 Ukafongora pakuiswa, chibereko chinenge chiri pakanakazve pokugamuchira urume
3 Ukaita mimba inokurira mberi kwako pasina puresha paura.
Mwana kana oda kutendeuka haanetseki.

Pikicha yechipiri
1 Chibereko chamira kumusoro kwechitubu kureva kuti chaita zvokumuka kunozemberana noura
2 Murume akakupinza chombo mukatanga kukoirana unokwanisa kugwadziwa nazvo.
3 Kana chikazara ropa rekumwedzi unokwanisa kuhwa kupuresiwa nouremu hwacho
4 chinopuresa kuseri kwenzira yeweti saka unokwanisa kungogara uchivhinza weti
5 Unohwa kusungwa mudumbu kuti handizvo zvamunofanira.
6 Unogarobata zvigwere kupffura vamwe
7 Ukaenda kwaDoctor anokuzama kuti ugare uchisunda chibereko chichirerekera mberi asi kazhinji vanoda kubvisa chibereko.

Pikicha yechitatu
1 Chibereko chatushanduka kurerekera shure
2 Chagara paura zvokuti kuita tsvina konetsa
3 Ukabata mimba chakadai mwana anokwanisa kunetseka chose kukura uye kuzotendeuka oisa musoro pasi kuti azvagwe
4 Unogarohwa musana
5 Ukapinzwa chombo unohwa kugwadziwa
6 Zvigwere zvinowanda zvaunogarobata zvepamberi chimwe chazvo iJeko. (Tarisa pandakanyora nezveJeko)
7  Ukaziva kuti unechibereko chakadai ukaenda kwaDoctor anokuudza kuti bviswa chibereko. Kana uchida mwana imbomira.

Zvinokwanisika kuitika kuvanhukadzi vachiri kuzvara kusvika pakuti chibereko chikarereka kudai une mimba unohwa musana kugwadza nguva yese yemimba. Kana chibereko chikarereka kudai zvinokonzera ropa nezvimwe zvinomhanya mutsinga kusafamba zvakanaka. Zvadaro chibereko chinoshaya kudya kwakakwana zvokuti zvimwe zvezvachinoita zvinoshoteswa. Sokuti zviya zvandakambotaura kuti chibereko chinozvigezesa chichirasa tsvina yese paunoenda kumwedzi paya. Zvinokwanisika kuti kuzvigeza kuya kunoshaya samba nengari yokuti maHORMONES anochiudza kuti chigeze anenge asina kukwana.  Zvikadaro tsvina iya yange ichifnira kubuda yega inotadza kubuda yese zvigwere zvochitanga mutsvina yasaramo iya munhu otanga kusahwa zvakanaka mumuviri wake.

Ipapo zai anenge achingokandira mwedzi umwe noumwe zvokuti mimba anokwanisa kuibata. Asi unozotanga kuhwa musana nemimba yako iyoyo. Ukaenda kwa Dhokotera unonoudzwa kuti vakdzi vakawanda vanazvo saka dzokera kumba undomirira kusvika wazvara. Unogwadziwa nazvo asi varapi vasinei nazvo. Chero usina mimba unokwanisa kunetseka nechibereko chiri padivi kudai. 

Kana zvadaro vamwe varapi vanokwanisa kukuudza kuti unofanira kubviswa chibereko asi pakubviswa apa ukasachenjere vanobvisa zvikandiro zvako zvemazai zvinova zvinokupa mamwe maHORMONE ako. Wabviswa unokwanisa kukasira kubata chigwere che Dementia nokuti musoro unenge usina mamwe maHORMONE muviri wofunga kuti wachembera iwe usina kuchembera. Musangoterera zvinorebwa nevarapi nokuti pamwe vari kutodzidzawo zvokuita.

Zvinotaridza kuti chibereko chiri padivi
Kugwadziwa kana woda kuenda kumwedzi kana kuti uri kumwedzi
Kugwadziwa pakuvata nomurume 
Kugarohwa musana pasina chaunoona kuti chikonzero
Kuita manyoka zvikuru nguva yokumwedzi. Chibereko chakarerekera kumashure chinonogara pamatumbumakuru kuita svina kugozhera muviri nokuti ura huri kusvinwa nouremu hwechibereko, zvikuru kana une mimba chibereko choramba chichikura chichiwedzera kurema.  
Kuita tsvina inonhuwa zvakawedzera
Kutadza/kunonoka kuita mimba
Kuzvimba nokugwadziwa nezvikandiro zvemazai (overies)
Kugarovhinza weti zvishoma zvishoma

Zvokuita kana wafungira
Kana wafungira kuti une dambudziko iri kasira kuenda kundoongorogwa kuti ndizvo here. Wadaro usakasira kuterera nyaya yokubviswa chibereko. Imbomira nokuti pane zvaunokwanisa kuita iwe muridzi kugadzirisa nyaya iyi kana isati yanyanya kushata. Kana usina vana uchida kuzoita vana usatombobviswa chibereko nokuti hauzokwanisi kuita vana. 

Chokutanga kuita ndezvinoudzwa vane mimba kuita kana zvibereko zvavo zvatarisa padivi kana kurerekera kumashure. Zvinonzi vaite ma EXERCISE anohi KNEES TO CHEST anoratidzwa papikicha yandaisa iyi. Unotoshinga kugaroita nguva nenguva chero pawagonera asi zvinongoshanda kwenguva diki. Nguva diki iyoyo iri nani pane kusatomboshanda kuramba chibereko chakarereka. Zvakadaro unofanira kuramba uchingoita pawagonera.

Kotizve kana pane munhu anokwanisa kukuita PELVIC MASSAGE nguva nenguva. Kudzidzisa murume  wako chinhu chakanaka, zvikuru kana ari munhu anohwisisa nezvenyaya iyi uye achidawo kuti upenyu hukurerukire mugare nomufaro mumba. 

Zvokuita kana une chibereko chakarereka zvinhu zvitatu zvaunkwanisa
1 Kana chisina kunyanyorereka unokwanisa kuita mamwe ma EXERCISE anoti ukaramba uchiita chinopota chichidzokera pakanaka.  Kuchipatara ndiko kwavanokuudza zvokuita wotombopurakitiza uriko.

2 Unokwanisazve kuti kuchipatara vanokupinza chinhu chePLASTIC chinohi PESSARY chavanopinza nemumheche , chinonogofa chibereko kumberi uko kuti chibereko chirerekera kuno mberi sezvachinofanira kuita. Pessary iya inotombogara mukati yakatsigira chibereko kusvika chajaira kurerekera mberi.
Kune ma Pessary anoti unokwanisa kuvata nomurume pessary iri mukati, murume otokupinza chombo moshanda basa kusvika mapedza pasina chaambohwa kuti chirimo, Asizve kune dzimwe dzokuti unoudzwa kuti kana woda kuti murume akupinze chombo wombobvisa. Vanokuudza zvese izvi.

3 Kana zvese izvo zvaramba unonoitwa OPERATION vogadziridza mamirire akata chibereko zvopera zvakadado.

Zvokuita kana une chibereko chakarereka zvinhu zvitatu zvaunkwanisa
1 Kana chisina kunyanyorereka unokwanisa kuita mamwe ma EXERCISE anoti ukaramba uchiita chinopota chichidzokera pakanaka.  Kuchipatara ndiko kwavanokuudza zvokuita wotombopurakitiza uriko.
2 Unokwanisazve kuti kuchipatara vanokupinza chinhu chePLASTIC chinohi PESSARY chavanopinza nemumheche , chinonogofa chibereko kumberi uko kuti chibereko chirerekera kuno mberi sezvachinofanira kuita. Pessary iya inotombogara mukati yakatsigira chibereko kusvika chajaira kurerekera mberi.
Kune ma Pessary anoti unokwanisa kuvata nomurume pessary iri mukati, murume otokupinza chombo moshanda basa kusvika mapedza pasina chaambohwa kuti chirimo, Asizve kune dzimwe dzokuti unoudzwa kuti kana woda kuti murume akupinze chombo wombobvisa. Vanokuudza zvese izvi.

3 Kana zvese izvo zvaramba unonoitwa OPERATION vogadziridza mamirire akata chibereko zvopera zvakadado.
Chibereko chakarereka chinogadzirika asi zvinobva nokuti uri kunyika ipi.  Usaudzwa nhema nevanhu vanoda kuita mari nokushunguridzika kwako.  Enda unonatsobvunza murapi kuti chii chinokwanisika pazvinhu zvitatu izvi. Iye achakupinza zvigumwe obatabata kuhwa kuti chakarereka zvakadii, okuudza zvokuita.


Chibereko chakarereka chinogadzirika asi zvinobva nokuti uri kunyika ipi.  Usaudzwa nhema nevanhu vanoda kuita mari nokushunguridzika kwako.  Enda unonatsobvunza murapi kuti chii chinokwanisika pazvinhu zvitatu izvi. Iye achakupinza zvigumwe obatabata kuhwa kuti chakarereka zvakadii, okuudza zvokuita. Hakuna mushonga wechivanhu unorapa chibereko chakarereka.  Varapi vakatozivawo munhu ane mushonga wacho vanomupa mari inopfuura 1 Million USD. Saka ukatohwa munhu anoti anowo mushonga wacho ndiudze ugowana mari yakawandisa. Iniwo ndigowanawo mari. 

Kana mimba ichikura
Tarisa uone kuti kana mimba ichikura chibereko chiri panzvimbo yakanaka chinokura chichienda mberi kwako. kumwe kwese hakuna dambudziko. Saka ukaona wongonetseka nezvimwe, ziva kuti chokutanga kufungira ndechokuti chibereko chako hachisi pakanaka. enda undooneka.

Ndimwe nguva chibereko chinongochinja nzvimbo choga asi chozodzokera pachinofanira. Ukafungira kuti pane zviri kuitika, sokuti mavatire aunoita, umbochinja mavatire uone kuti zvinodii. Madhokotera haana nguva yokukubvunza zvakawanda vanongoda mari yavo nokukupa mushonga chete.




Tiri kuenderera mberi nayo nyaya iyi. 





Thursday, 15 August 2013

Murume anovata nevarume iye ane mukadzi

MuUK mune vanhu vakawanda chose vanovata nevarume nevakadzi zvese zvokuti haatombozivi kuti anoda varume kupfuura vakadzi here kana kuti vakadzi kupfuura varume. Vanhu ava variko kwese kuvakadzi nokuvarume. Tikatarisa mabato evarume tinoona kuti kune
Varume vanoda vakadzi
Varumevanoda vamwe varume uye vakadzi
Varume vanongoda vamwe varume
Varume vasingadi zvese vakadzi kana varume

Mabato awa ari munyika dzese dzepasi pano saka usafunga kuti zviri kunyika iyo kana iyo chete. Asi kungoti dzimwe nyika zvinogamuchigwa saka vanozviita voitira pachena pasina zvokuvanza. Kwedu kuZimbabwe zvaionekwa kuti munhu uyu zvevakadzi haadi kuita ega mhuri yake yomukomberana vomutsvakira musikana vomukwesva nokumudzidzisa kugara nomukadzi kusvika angoitawo somurume ane musha. Varume vakadai vaingoonekwa sevanhu vasina CONFIDENCE yokunyenga asi achida vakadzi. Mazuvano munhu umwe chete iyeye ane zviito zvakadaro anokwanisa kuudzwa kuti anoda varume iye obva adawo varume. Zvongozobva pakuti avada kusvika pakadii kubva pamabato atataura awa.

Kutya vakadzi
Kutya kwakasiyana nokusvoda. Munhu anotya haatombodi kuvhengana nevakadzi. Anoona sevanhu vanoitisa ANXIETY kana anavo ega. Akazosara ari ega nomusikana umwe chete anowedzera kutya zvokuti anopedzisira atowana mukana wekutiza. Haana nyaya dzokutaura nomunukadzi.

Murume akadai anokwanisa kuva munhu anotya chitubu chomukadzi. Unohwa achitauta achiti Be*** kureva kuti mufungwa make anoona sezinhu zihombe rinoitisa maNightmare kuriona. pane kuti MHE*** kutaura nezita rayo rakapfava rinoratidza kuti chinhu chidiki chinotonetsa kupinda. Pamunhukadzi hapana chimwe chinhu chaunowana chine mazita maviri akangosiyana nekubva pakuti nyakutaura anofunga kuti isaizi ani. Chitubu chomukadzi zita racho pachiShona chinohi MHE**** kwete BE***. Ukahwa murume wako achishandisa BE*** ziva kuti ane fungwa dzechimwana chidiki dzokufunga kuti zinhu ziguru rinokwana mwana kubuda napo.
BE*** iro
MHE*** iyo

Usakangamwa kuti varume vakawanda vanofarira urume hwevamwe varume. Vakawanda vanohura nevakadzi vevanhu ipapo achitoziva kuti mukadzi uyu ane urume hwemurume wake mukati make, Kana asina matyira ekodhibha mudhibha rourume hweumwe chinozomutyisa pakubatsira shamwari yake kubudisa urume chii.

Mukadzi:
Vakadzi vakawanda vanofarira zvakasiyanawo. Kune
Vakadzi vanoda varume
Vakadzi vanoda varume nevakadzi
Vakadzi vanoda vakadzi
Vakadzi vasingadi zvese izvi.

Vakadzi vanokura vane ruzivo gwekuti pamberi hapabatwi uye hapana anofanira kupaona. Kunozoti wati kurei wotanga kuenda kumwedzi, ukashaya anonyatsokurondedzera mamirire ezvinhu, unokwanisa kukanganisika musoro. Kudzidza kuti kana ukaita murume unofanira kupinzwa chombo pamberi chinhu chinotyisa kana ukakasira kuudzwa kana kuti ukazozviziva wakurisa, wange usingazvifungiri. Kune vakadzi vanotya kupinzwa chombo zvokuti kana akatofunga kuti zvingangoitika, anokwanisa kuoma mutezo, zvobva zvawedzera kutadzisa murume kupinza. Ukuwo haanyorovi. Nyaya dzevanhukadzi panyaya iyi dzakawanda.

Koitazve vamwe vakadzi vanosvika pakuchiva chombo chomurume kusvika ada kuchiita iye. Kugarodembedemba kuti dai akazvagwa ane chombo. Saka haazvioni somunhukadzi asi somurume akazvagwa akaremara kureva kuti haana chombo asi murume.  Ava vakadai kuti apinzwe chombo noumwe murume hazviiti. Iye ndiye anotoda kupinza chombo chiya chaasina mumukadzi saka anoda vamwe vakadzi. Yova Mental ILLNESS


Pakuvata nevamwe vakadzi hapana chinopinzwa saka anoona zviri nani kuda vakadzi pane kuda varume. Zvinonzi izvo muviri wemunhukadzi muviri wakapfava zvokuti vamwe vakadzi vanoona muviri weumwe mukadzi uchievedza kutarisa zvokuti anobva amuda kusvika pakuda kuvata naye nokumubatabata.  Zvisingarevi kuti varume haachadi asi kuti anoda vese varume nevakadzi. Unokwanisa kunge uri mai vemba asi uku uchimbovata nevamwe mai vemba muchitonakigwa nazvo uku muchinakigwazve nevarume venyu.  Inyaya inonetsa kuhwisisa

Kotizve vakadzi vanodhonzana matinji, vari vasikana. Unokwanisa kuzvijaira zvokuti unotozvitarisira. Koti ukadhonzwa noumwe ukahwa kunyorova zasi, unokwanisa kuita fungwa yokuti zvinonaka wozoti wakura woda kubatwabatwa noumwe mukadzi. Kwedu kuZimbabwe vashoma vanobatsirana kudhonza asi ndombohwa kuti kumaBOARDING SCHOOL zviriko.

Kukura kwedu

Ukatarisa magarire edu unoona kuti kubva munhu ari rusvava aidzidziswa kuti murume here kana kuti mukadzi. Apazve wodzidziswa zvaunofanira kuita somurume kana mukadzi. Kuti uzoti uku wakura uri murume woda vamwe varume kana kuti wakura uri mukadzi woda vamwe vakadzi inyaya unonetsa vakawanda zvokuti vanopedzisira vongokutuka nokuti vashaya zvimwe zvokuita.

Pakukura kwedu taibika matakanana zvokuti kana pasina mukomana anoita baba munongoti umwe musikana chiita baba asi vakawanda vaizokura vachiziva kuti uyu musikana uyu mukomana.


Kuroorana
Iwe somunhukadzi ukarongegwa kuroorana nomunhu asiri pabato iro rokutanga, zvinokunetsa kuti uzive kuti ndiyo nyaya iripo nokuti iye haakuudzi uye hapana anokuudza. Saka zviri nyore kupedzisira waroorana nomunhu akadai. Unotozoti magara mese kwenguva unoona kuti zviri kutaugwa nevamwe vakadzi vakawanikwa handizvo zviri kumba kwako, wombobvunzabvunza wozoona kuti nyaya yakatsveyama. Kana uri munhu anogutswa unokwanisa kusava nehanya nazvo wongorera vana vako uchiriritira murume wako sezvaari izvozvo. Asi pamwe zviito zvake zvinokutenderedza musoro kusvika wada kuongorora zvakadzama.


Unohwa sei kana une akadai? 
Toti waroorana nomunhu anoda verudzi gwake. Inyaya inonetsa chose kuti iwe ne murume mumba wozvibata kuti murume wako ari kupinzwa chombo noumwe murume pasina chibharo, uye kuti ari kutozvida anotobvisira umwe murume bhurugwa ofongora opinzwa chombo okoigwa achitochemererawo pazviri, opiwa urume otenda uya umwe kuti waita basa shamwari ndanakigwa.

Kana kuti iye anokusiya mumba ondobvisigwa bhurugwa noumwe murume umumisira chombo opinza achitobatirirawo kuita sokuti mukadzi wake. Zvadaro otozadza umwe murume urume votofara kuti zvaita.

Kutobatana pamberi nokukisana nokumwa minyatso yavo. Iwe ugere kumba uri kuona TV wakamirira murume wako. Ozoti auya ovatazve newe. Musi waunozviziva unopera simba. Ndinohwa vakadzi vakawanda vanozviitigwa vanotaura kuti zviri nani kuita murume anohura noumwe mukadzi asi kuhura noumwe murume hauzivi pokutangira nokuti COMPETITION inonetsa pazviri.

Kana kuudza shamwari dzako kunokunetsa nokuti unoona zvichisvodesa. Kutaridza kuti iwe wakatadza kusarudza uye uri fuza zvokuti haukwanisi kuona murume akadai kuti akadai. Ipapo vese vakauya kumuchato wako uye shamwari dzako dzaienda nemi kumafirimu hapana kana umwe chete akakuyambira kuti murume uyu anokwanisa kuda vamwe varume. Asi zvinokudya moyo kuita sokuti imhosva yako kuti murume anoda umwe murume. Chero ukamubvunza hapana chaunohwisisa pazviri.

Murumewo kuziva kuti mukadzi wako anokwizana bhinzi nokumwa mazamu oumwe mukadzi nokukisana naye vasina hembhe zvinonetsa kuhwisisa zvokuti unoona sokuti pane chawakatadza. Varume vanonetseka futi nenyaya yokuti vanofuga kuti murume kuti ahi murume zvinobva pakuva nechombo. Kutoregwa mukadzi wako noumwe mukadzi zvinokwanisa kuitisa PSYCHOLOGICAL DISORDERS pamurume.
Kuzoti azive kuti sei mukadzi wake achida munhu asina chombo zvomutenderedza musoro.

Todii nazvo kana zvaitika?
Asi ngatihwisise kuti zviri kutoitika. Kana zvakuitikira iwe mumba mako ukatadza kuzvigamuchira, siyana hako noumwe wako uyezve enda kuCOUNSELLING unobatsigwa kuongorora nyaya yako usati tadanana noumwe munhu.

Hausiriwe wazvikonzera saka haukwanisi kuzvigadzira. Zvinokwanisa kukuvhundusa kusvika pakushaya CONFIDENCE zvokukunetsa kuzodanana noumwe munhu. Apa unenge wava kutya kusarudzazve uchifunga kuti sarudzo yako yakaipa.

Koitazve vamwe vanoona ungochani sechinhu chinoitigwa mishonga. Gadzikana hako hana. Hapana mushonga waitika uye umwe wako haana kuroiwa. Chinhu chaangofungawo kuita nokuda kwemakurire ake. Hazvinei nechimwe chawaita. Hauna kukanganisa kusarudza. Wakasarudza kubva pane zvake zaaikutaridza iye.

Ukataura nevakadzidza Psychology vanokuudza nyaya yakareba pakuhurigwa nomutoo uyu. Pano ndangodimurira kuti tizive kuti zvinoitika uye kuti unofanira kuzvitarisisa usati waroorana nomunhu wawasarudza, kuti zveshuwa anoda vakadzi/varume here.

Dzimwe nyaya dzinozotadzisa vanhu kuvatana zvakanaka dzinobva ipapa saka ongorora zvakanaka kuti munhu wako akadii muchine nguva yokurambana pasina anokunetsai.

Varume vakadai vakawanda here uye ungazviona sei kuti ndizvo zviri kuitika.
Zvinonzi kunyika dzakaita se Europe neAmerica 11% yevarume vese vanotombozama kuvata nevamwe varume.

Kwedu kunanaZimbabwe uko vashoma havo asi variko vanotokwanisa kutadza kuvata nomukadzi iri nyaya yokuti anoda umwe murume. Havasviki 2%


___________________________________
Vakambosangana nazvo taurai tidzidzisane.

UDZAI VAMWE!!!!


Tuesday, 13 August 2013

Kusanakigwa nomurume/mukadzi

Unokwanisa uzvagwa usinganaki asi kazhinji kusanakira umwe wako mazvokuda ako iwe. Vakadzi vakawanda vasinganakigwi navarume vavo vanotaura kuti varume vavo vanonakigwa chose. Ukuwo varume vasinganakigwi navakadzi vavo vanotaura kuti vakadzi vavo vanonakigwa. 

Saka toti hausi kuna umwe wako okuudza kuti ndiyo nyaya iripo. Unoita sei nazvo. Chokutanga inogumbuka kuti akuudzirei nyaya inosvota saiyoyo asi ukazozvifungisisa unoona kuti zviri nani akuudze kuti uigadziridze iwe. Pane kuti dai angonyarara iye asinganakigwi nazvo. Unozoona kuti munhu anokuda anokuudza kuti haunaki.

Varume:
Murume kuudzwa kuti maititire ako haanaki haadi chose nokuti anotonge anchizvirova dundundu achifunga kuti anonaka. Kuzoodzwa kuti haanaki zvinomuwedzera kusanaka kwacho kwekanguva kuzvika azvigamuchira kuti zveshuwa haasi kunakira umwe wake. Chikuru chinoitisa kuti varume vasanaka ndechokuti varume havataurirani nyaya dzokuisana pachavo neshamwari dzavo. Havadi kubvunza mazano ukugona basa. Zvinoonekwa sokuti ukabvunza zvoratidza kuti hausiri kugona. Saka umwe noumwe murume anongoti zii ega achifunga kuti ndiye ari kutogona kupfuura vamwe izvo bodo mukadzi wake ari pakaoma nazvo.

Pane nyaya yakaitika yokuti mukadzi nomurume vange varoorana kwekanguva asi murume achingoda izvozvo zvimwezvo zvomusi wekutanga. Mukadzi ongoti murume akapedza ovate iye ozosara ozvipedzisa ega murume ava pangonono. Kuzoti umwe musi murume pepu mukadzi ari pakati pekushinyira ega nemaoko ake, murume ndokuterera kusvika mukadzi apedza, ndokuchimuvhundisira. Kwahi ndiudze kuti wange uchiitei ini ndiripo. Mukadzi nokutya ndokuzoudza murume kuti haasi kunakigwa nemaitire emurume saka anoita ega kana murume avata.

Murume akadya rasha kubvunza mukadzi kuti unoziva sei zvinonaka kana ndisiri kukunakira ini. Kubata mukadzi kurova kwahi akakuudza zvinonaka izvozvo ndiani. Mukadzi mukuchema kuya ndokuti kumurume aende andobvunza shamwari yavo inohi Wendero. Murume ndokutowedzera kumurova kwahi wakavata naWendero.

Kuzoti yotongwa nyaya wanike bodo mukadzi waWandero ndiye akva vachitaura nyaya vachishopa, ndokuudza shamwari yake kuti Wendero anomutadzisa kuvata achingoda zvinhu usiku hwese uye kana iota anotora nguva yakarebesa achiita zvinova zvinonetesa mukadzi wake. Saka uyu shamwari kuzoudza murume kuti “Enda undobvunza Wendero.” Kwaiva kuti nokuti ndiye ane maitire aanoda iye .
Vatongi vakazoti vahwisisa nyaya ndokutsanangurira murume kuti mukadzi haana kuhura naWendero asi kuti mukadzi waWendero ndiye akaudza mukadzi kuti Wendero and maitire ake angafadzawo mukadzi wako kana ukanobvunza Wendero kuti anozviita sei.

Varume havadi kutaurirana nokupana mazano, zvikuru kana vari shamwari. Dai vaigarotaurirana nokupanana mazano sezvavanoita panyaya dzebhora, dai vakadzi vakawanda vane mufaro mudzimba.

Vakadzi:
Kuudzwa kuti haunaki nomurume wako zvinogwadza moyo uye kutyisa nokuti hauhwisisi kuti murume anokuda here kana kwete. Asi chookwadi ndechokuti dai asingakudi dai asina kukuudza. Kukuudza kuti ufunge zvokuita. Zvokuita zvacho dai waizviziva dai wakatozviita kare. Saka kana waudzwa enda unobvunza umwe mukadzi wechikuru kuti zvinhu zvinoitwa sei ubve wapiwa mazano. Zvadaro dzokera kumba kwako undozama mazano aya.

Kuti waudzwa wopedza nguva uchichema hazvibatsiri chinhu.

Maudzire ako:
Kana waona kuti umwe wako haanaki manakire aunoda iwe, usamirira kuti mupopotedzane nenyaya yacho kuti umuudze.

Usamuudza uchishandisa mashoko anogumbura.
Usamuudza maudzire anoita ashushikane.

Tanga waudza umwe wako nezverudo uye kuti zvaunoda kumuudza ndezvokuti upenyu hwenyu huite nani. Kana ahwisisa wochimuudza kuti hausi kunakigwa pakuvatana kwenyu asi unofunga kuti pane zvinokwanisika kuitwa kuti unakigwe. Womubvunzawo kuti iye ari kunakigwa here. Kana ati anonakigwa panoda kuti uwedzere nyaya dzokumuita azive kuti unomuda chose asi pakuvatana uri kusaririra pane zvaari kuita iye. Wohimutsanangurira zvaunofunga kuti zvingawedzera kunakigwa kwenyu.

Zviri nani kumuudza kwawakahwa zvinhu izvi nokuti ukasadaro anozofunga kuti pane wawakavata naye akakuratidza zvauri kutaura izvi. Kana wange wazviverenga mubhuku muratidze bhuku racho avengewo ega.


Zvadaro chionaiwo mese kuti mapinda paPROGRAM itsva yokuzama, uye mowedzera kutaurirana kuti munohwa sei pazviri nguva imwe neimwe. Kana zvisingakunakirii, zamia zvimwe. Zvinhu zvakanaka pamuchato zvinobva pakutaurirana. Chero kunakigwa noumwe wako kunobva pakuhwisisana naye pakutaurirana. Kungomirira kusangana pakunovata handizvo zvinoita muchato. 

Tuesday, 6 August 2013

Kushaya hanya nemukadzi/murume wako

Kune vanhu vakaroorana vatomboudzana kuti vanodanana asi napo napo umwe wozoona kuti umwe wake haana kana hanya naye. Timbotarisa nyaya iyi tichiona kuti kusava nehanya kunoonekwa sei uye kunokonzera chii kuti chiitike. Zvine basa here kuva nehanya noumwe wako?

Ko iwe unohwa sei kana murume/mukadzi wako achitaridza kusava nehanya newe?

Chii chauri kuita kutaridza umwe wako kuti une hanya naye mazuvano?

Pamwe akakura asingazivi kugarisana nevanhurume/vanhukadzi. Tarisa mhuri yake uone kuti mune vanhui. 
Tipeiwo ma EXPERIENCE ENYU.

Mabato vanhu vasina hanya newe.

Munhu asina hanya zvachose:
Munhu asina hanya newe anoonekwa nemaitire ake. Kufunga kwake kunongova pane zvaanoda iye zvisinei nezvinodiwa noumwe wake. Kazhinji haatombozivi kuti umwe wake anofarira zvinhu zvakaita sei. Haatauri noumwe wake panyaya dzine musoro. Kana ada kutaura anongotaura kubvunza zvaanoda kuziva iye kuti akwanise kuita zvaanoda. Haaiti nyaya dzenhando newe. Kana pane zvaaona musi iwoyo zvamunakidza kana kumutyisa, haakuudzi. Unotodzihwa paanofonera shawari yake achiiudza achiseka kana kukatyamara.
Kana nguva yokuti adzoke kubva kubasa yave kusvika iwe pane kufara kuti monosangana kumba, unohwa kuremegwa nazvo. Kana akanonoka kusvika kumba haafoni kukuudza kwaari kana kuti anosvika nguvai. Unongotya wega kuti pamwe aita accident kana kuti pane zvimwe zvaitika asi iye haanei nokufunga kwako.
Kana ari murume anongosvika iota zvaanoita. Overenga nyuzipepa rake akanyarara. Pamwe haakurhafuri kana kukutuka asi wega unongoona kuti zvokutaura newe haadi. Kana ukamubvunza kuti aswera sei, anongotaura zvokuti usabvunza umwe mubvunzo futi.

Kana ari mukadzi wega unongoona kuti ATTITUDE yake haisi yomufaro newe. Anoita zvese zvinodiwa kuita aite samai vemba asi anongozviita pasina kuti zvinhu zvinomufadza. Chero ukadzy zvaabika chero ukarega, haanei nazvo. Anongokutarisa sokuti hapana zvauri.

Pakunovata munhu akadai anongoitawo zvomutemo, kuti nokuti ndiri mukadzi/murume wako saka ndofanira kuvata newe asi iwe wega unongoona kuti ndezveDUTY izvi. Hapana kuda kufadza kana kuratidzawo kufadzwa. Ukabvnza kuti zvange zvichinaka here anongoti ehe, zvatopera. Movata henyu. Hapana chwadzidza pazviri. Iyewo hapana chaadzidza. Iwewo kana pane zvaunoda kumbozama unotya kukumbira. Mapedza kuvatana chero ukamutenda kuti aita basa, haanei nazvo. Hauzivi kuti anofungei nguva nenguva.
Kana une munhu akadai, hazvigoni kuti ugare wakarerukigwa noupenyu. Security inpiwa vamwe vanhu nokuchata hauna uye hauiwani.

Munhu ane hanya asi asingazivi kuti zvinotaridzwa sei
Kune vanhu vanoita sokuti haana hanya newe asi mumoyo make munhu ane rudo zvokuti. Vanhu vakadai vanoitiswa kudai nemakurire avo. Munhu uya haana kuita DEVELOPMENT yokunatsohwisisa kutamba navamwe saka kana anewe, anokwanisa kufunga asi zvokita zvinomunetsa. Uyu munhu anoti ukaita kumuratidza kuti hauchamudi kana kuti pane zvaakanganisa ukasakasira kumutsanagurira, anokwanisa kuita zvinhu zvisina kufanira kuitwa. Munhu akadai anoda munhu ane moyo murefu kuti agare naye.

Kuongorora
Kana une munhu aunofunga kuti haana hanya newe, imbozama kuongorora kuti munhu upi pamabato maviri awa. Zvnokwanisika kuti munhu ari pakati nepakati futi nokuti ukatsamwisana nomunhu webato rechipiri zvinokwanisika kuti panguva iyoyo asava nehanya newe asi hazvirevi kuti haakudi.

Kusava nehanya nomunhu zvinobvepi
Kunesu vakadzi zvinowanzobva pakuti wada munhu nomoyo wako wese iye okuitira chimwe chinhu chakaipa chokuti unoona sokuti haakudi. Munokwanisa kugadziridza nyaya dzenyu asi zvoitikazve, mogadzirisazve zvichingodaro kusvika paunozofunga kuti wakakanganisa kusariudza, wobva watanga kusava nehanya nomurume.

Pamwe unofunga kuti murume wako anobhowa asi hauna kwekuenda saka wongomuita sokuti haasi munhu. Mukadzi akadai anokwanisa kutanga kuhura zvisiri zvemari kana kupiwa zvinhu asi kungoda EXCITEMENT. Kuno kuEUROPE ndivo vakawanda vabohurira nyaya iyi.

Pamwe ane chigwere che Post Natal Depression. Kana ukaona asisava nehanya panguva inobva pakuzvara kusvika makore maviri, imbofungira nyaya iyi.

Pamwe mhuri yake inogarokutsoropodza kana vanaye saka anoziva kuti vanofunga zvakaipa pauri obva akutarisa achizviona zvinhu zvacho.

Munhukadzi munhu anozvagwa ane chido chokushandira murume wake nemhuri yake saka ukaona oita seasingazvidi, pane chakaipa muupenyu hwake. Instinct yevanhukadzi ndeye Service kumurume nemhuri.

Kuvarume.
Varume kazhinji zvinobva pakuti makaroorana sei. Kana wakatanga nokuita mimba mukazoroorana nokuda kwemimba yacho asi mange magara musingatauri yokuroorana, unokwanisa kuonekwa semunhu asina maturo. Inyaya yokuti mimba inoonekwa sechinhu chinoitwa nomukadzi paadira kuiita kwete kuti paapiwa urume naiye murume wacho. Zvinohi kana wada kuvhura makumbo chitanga wagadzira nyaya yemapiritsi kana makondhomu. Kwete kungoti murume paadira iwe wovhura. Mimba mazuvano inongoitwa kana wada kubata murume chibharo chemimba. Ndipo achizokushaira hanya.

Potizve vasikana vanoti akavata nomukomana wake ofunga kuti zviri nani kuroogwa naiyeye, ipapo iyw mukomana anenge asati azvigadzirira kuroora. Zvadaro musikana abnonyebera mukomana kuti ane mimba kuti awane mukana wekuwanikwa. Anozoti ava pamushati aonekwa kuti mimba ange asina.

Kana murme akawana hure rokugarhorhoja anokwanisa kushaira mukadzi wemumba hanya. nokuti iwe haachamudi. Pamwe anomuda asi anoda kumuratidza kuti zvaakamuitira zvakaipa.

Mabasa
Pamwe iwe une basa rinopa mari kupfuura rake. Varume vedu vechiZimba zvinovadya moyo izvi. Anoona sokuti imhosva yako kuti wakawana basa iri. Adaro anoona sokuti ukapiwa Promotion unofanira kuramba kusvika iye ava kutambira mari yakapfuura yako.

Varume kazhinji haunetseki kuziva chakaipa pakati penyu nokuti havagoni kuvanza zvinhu. Isu ndisu tine nyaya dzinonetsa kuhwisiswa nevarume vedu.

HISTORY dzenyu
Koitazve nyaya yokuti wava mumba murume ozoziva kuti waichimbovata nevamwe varume vakawanda kare, iwe ipapo wanga usina kumuudza musati maroorana. Anoona sokuti uri munhu asina kuvimbika. Chinhu chakanaka kubudirana pachena muchiri kunyengana kumurondedzera HISTORY yako. Kana achikuda wokuda achiziva zvauri. Kana asingazvifariri oenda hake okusiya wakadaro. Kuzoti wava mumba ochiziva kuti wakambobika mapoto nanhingi kana kuenda pahorodhei nanhingihandizvo. Ndipo unoona murume oita sokushaya hanya newe. Anenge ari pa nguva yokuchema somunhu afigwa. Ipapo chinenge chafa ruvimbo pauri. Munhu waange achivimba naye amuratidza kuti haasi munhu akavimbika.

Varume havawanzi kunyeba panyaya idzi vanongonyeba pakuwanda kwevasikana vavakavata navo asi vanowanzokuudza kuti akambovata noumwe.

Saka zvoitwa sei kana umwe wako akushaira hanya? 
Murume asina hanya
Mukuona nokuterera mitauro yevakadzi vandinosangana navo vhiki imwe neimwe vachipiwa nguva yokutaura pamusoro pevarume vavo, ndinoona sokuti kune zvinhu zviviri zvinokunzeresa vanhukadzi kuhura kupfuura zvimwe zvese. Kunoti murume anoita seasina hanya nomukadzi wake kuti murume anokasirira mukadzi wake.

Kana tichibvunza mubvunzo wekuti zvoitwa sei, tiri kuubvunzira paviri pokuti iwe mukadzi ungadii kuti murume aite hanya newe, uye kuti iye murume akafunga kuti unofunga kuti haana hanya newe angaitei pazviri?

Kana uriwe mukadzi ane murume akadai, chokutanga zvibvunze chikonzero. Kana wawana chikonzero zama kugadzirisa nyaya yako usati wada zvechihure. Hisisazve kuti pamunenge muri panyaya iyi vamwe vanokuona vanoona usina mufaro pachiso, saka vamwe varume vanokuona vanotsvaka kukusetsa nokukufadza. Zvadaro unokwanisa kuhwa uchikwezviwa kumunhu anokunakidza nokuti unenge une CONDITION inohi ATTENTION DEFICIT, kureva kuti uya anofanira kukufadza haasi kukufadza. Zvinokwanisika kuti zvese zviri kuitika kumba kwako ukawana munhu ane zheve dzokuterera unomuudza zvinhu zviri SECRET zvokwenyu.

Zvadaro uchashamwaridzana nomurume uyu wopedzisira wava pa COMFORT sex naye. Ipapo zvokuhura unenge usingambozvifungi uye hautooni kuti wave kuhura. Uyavo murume, pamwe ane mukadzi wake uye haadi zvokuonekwa newe kureva kuti haakudi asi anoda kukuisa chete. Iwe unomuona seshamwari yako inoterera zvaunotaura. Nyaya yako ipapo yatokura zvokukwanisa kurambwa nouya asina hanya newe.

Chokutanga wana umwe munhukadzi wekuudza zviri kukudya moyo. Uchaona kuti vanhukadzi vakawanda vanoterera uye vanokupa mazano. Varume vakangoziva kuti kumba kwako kwaita dambudziko votoda krigadzirisa nechombo. Udza munhukadzi zvikuru munhu agara ari shamwari yako. Usakasira kuda kuudza munhu asiri shamwari yako nokuti anokwanisa kunoudza vamwe vanhu.

Chimwezve kasira kukumbira ruregerero kumurume wako. Kana aramba akadaro, kana zvichikwanisika imboparadzana naye. Womuudza kuti unoda kumbonovhakasha kuhama. Paunodzoka muvigirewo zvinhu zvakanaka azive kuti wange uchimufunga.  Zvikasashanda muudze kuti wave kukumbira hama izombotonga nyaya yenyu. Hama iyi munhu mukuru wekumhuri yake iye murume. Uchahwa pakutongwa kwenyaya murume oda kuhi ndiye asina mhosva saka achataura zvese zvakaipa pauri. Adaro iwe zvigamuchire ugotaura kuti wanga usingazvioni nemaziso iwawo saka uchazama kuzvigadzirisa asi murume ngaachikubatsirawo nokutaridza rudo kana achiri kukuda. Achabvunzwa ipapo gozvitaurira ega kuti anokuda here kana kwete.

Ndakamboenda kune vamwe verudzi gwedu veChiZimba. Murume akabvunzwa kuti achiri kuda mukadzi wake here, aange arova vhiki mbiri dzapfuura mukadzi akamudanira mapurisa akasungwa akanovata muchitokisi pakismisi. Umwe wevatongi akabvunza kuti uchiri kuda mukadzi here? Zvikahi "Mubvunzei kuti, zvaabika handidyi here, ndiro handimubatsiri kusuka here, pane musi waanoti handina kumukwira here, mari anoitambura here mumba muno." kureva kuti kuona kwake zviitwa izvi zvinotaridza zvega kuti anomuda asi isu taida kuti ataure kuti anoda mukadzi wake.

Kana nyaya yatongwa, kutonga kuitira kuti mutange kutaudzana nokugarisana zvakarurama. Chitaura zviri kukudya moyo murume aterere azvihwisise nokuti wapiwa PLATFORM. chirega kusiya zvimwe. taura zvese.

Chiporomisa zvauchaita pane zvaataura. Ramba uchingodzokorodza kuti iwe murume wako unomuda chose uye zvese zvange zvichiitika zvakudya moyo nokuti inoona murume wako ari kure newe. Kumbirazve kuti kana watadza ngaakasire kukudza. Tenda murume wako nokugara dare kwaaita newe kuti nyaya ipere.

Muchingopedza kutongwa, vatongi vaenda masara mega, tendazve murume wako kuti akupa mukana wekugadzirisa. Hazvinei kuti iwe ndiwe wakanganisigwa here kana kuti ndiwe wakanganisa. zvininipise kumurume wako azive kuti zvese zvinoitika mumba iwe unoziva kuti iye ndiye saimba. Zvadaro pakunovata chitaridza kuti ndiwe mukadzi. Tension yese yange iri mumuviri nokugumbuka ngaichibuda nomuchiuno. Nzira yokufungwa dzomurume inopinda mumuviri wake nomuchombo chake.

Mukadzi asina hanya.
Kana mukadzi ariye asina hanya newe ukazama kutaura naye ukaona kuti hapana zviri kuita, muudze kuti wava kuda kutsvaka munhu wekutonga nyaya. Vakadzi tikangopiwa PLATFORM yokutaura zvinotigumbura zvese kubva zvakaitika muna 1830 zvinobudapo.  Iwe terera chete uchimirira kusvika apopota akapedza akafemereka akachema akataridza kushaya mufaro.

Mirira kubvunzwa nomutongi kuti wahwisisa chagumbura mukadzi wako here. Ndipo paunozobvuma kuti wahwisisa. Chitaurawo kuti kuterera mukadzi wako achitaura kwakutaridza kuti zviito zvako shuwa zvakaipa uye hausi murume akakodzera pamukadzi akanaka kudai. Pedza nguva uchizvituka uchikudziridza mukadzi wako kuti munhu kwaye uye unomuda chose. Varume hwisisai kuti isu kudiwa uye kuudzwa rudo chinhu chikuru chose. Kuhwa murume wako achitaura pane vanhu kuti anokuda zvinoitisa manyawi. Murume ramba uchingotaurira vedare kuti iwe mukadzi unomuda, asi kuita sokuti haana hanya newe chinhu chakakugozhera. Dai aregera kufamba zhira iyi.

Iyewo akabvunzwa mufungo yake ambohwa uchitaura yorudo iyo unohwa odavira zvisina kupopota. Chiziva kuti nyaya yagadzirika.

Pakunovata usangotanga kumuisa usina kukumbira. Kumbira umirire akupe muviri wake. Adaro chiitawo nguva uchimubatabata, Makisi ombowanda, woratidzawo kuti muviri wake unomuda chose. mombotamba seshamwari dzange dzichigara kure nakure. Usati wapinza chombo kumbirazve womirira akuudze kuti enda mberi nenyaya. Chirega zveganyabvu. itwa zvinyoronyoro kuti iye aite ganyabvu nechiuno. Chiziva kuti wagamuchigwa. Nyaya yapera asi kubvapo, pota uchimutenda kuti munhu anogadzrisa nyaya, ndizvo agokasira kugadzirisa dzinozouya.

Pakauya vanovhakasha ita nokutaura zvinodadisa mukadzi wako pane vanhu.

Mese
Mukasaitirana hanya, zivai kuti muchato wenyu hakuna kwauri kuenda. Muchato chinhu chiri DELICATE chinokwanisa kupedzwa neshoko rimwe chete. Unokwanisa kungoudza mukadzi wako kuti muroyi kana kuti hure. Shoko rimwe chete rigomugumbura kusvika pakuzoputsa muchato wenyu.

Kana watsamwira umwe wako chiregawo kuita mazuva mviri wakangoita somunhu ari paSTRIKE. Kana zvichigoneka popota upedze shungu, zvadaro akabvuma kuipa kwake mubvunze kuti achaita IMPROVEMENT yake sei uye riini akuudze. Zvadaro chimuudza kuti zvapera womupa kisi mochitanga kuita sevanhu vakaroorana.

Zvokushairana hanya imi muchigara mumba imwe chete zvinokwanisa kupedzisira umwe ahura achizokupa chigwere iwe nokutsamwa kwako. Zvozodii?

Zvinhu zvinotaridza kuti une hanya noumwe wako:
1 Kushurikigwa kana asipo
2 Kumufonera uchimuudza zvinhu zvisina basa, sokuti waona chimbwanana chakanaka kana kuti wasangana neshamwari yekare. Kungohwa kuda kutaura noumwe wako.
3 Kuita nyaya dzisingaperi naye sezvamaiita pakunyengana
4 Kuti ukapiwa chinonaka woda kundodimburirana naye
5 Ukafadzwa nechimwe chinhu woda kundoudza umwe wako
6 Kana pane chaunoda kusarudza wotanga wabvunza umwe wako kuti chakanaka ndechipi
7 Kana Bazi rikanonoka unokasira kufonera kumba kumuudza kuti bhazi ranonoka kuti asafunganya kuti zvaita sei.
8 Kugara uchida kuvata naye nokuisana naye nguva dzese.
9 Kuti kana zvaakanganisa unomuudza asi womuregerera pamwe unopopota hako asi murudo.
10 Kugara uchimuudza kuti unomuda
11 Kurezvana naye nokumupa ziso rinomuudza kuti pane zvauri kumufungira.
12 Kumudaidza nezita rawakamupa iwe rorudo raunongoshandisa iwe chete.
13 Kusamumhura pane vanhu
14 Kuratidza vanhu kuti havakwanisi kukupatsanisai fungwa.
15 Kumubatsira kudzidza
16 Kubvuma mufungwa mako kuti iye anokuda zvokuti chero akadzidza akawana basa riri pamusoro chero akasadzidza akasawana basa unongomuda chate uye iye anongokudawo chete. Kana akuudza kuti anokuda iwe haumupikisi.
17 Kusamunyeya nehama dzako
18 Kubatsirana mabasa anoda kuitwa kuti mugozorora mese
19 Kuti mugere mumba menyu mogarawo pasofa rimwe chete kwete kuti uyu uko uyu uko sevarumudzani.

20 Kugarobvunza nokuziva nokuyeuka zvinhu zvinomufadza, zvaanofarira, zvinomunakira. 

Udzai vamwe!!!!



Monday, 5 August 2013

Kuvata nehama yausingazivi

Mazuvano, vanhu vakawanda havachazivi hama dzavo dzese nokuda kwezvokonzero zvakawanda zvinoti:
1 Kushaika kwevanhu vakawanda mumhuri nokuda kwerufu gwakawedzera mumakore ma
kumi maviri akapera.
2 Kuwedzera kufambafamba kwevanhu vamwe vachinosvika kunzvimbo dzavasingazivi munhu ikoko.
3 Kubuda munyika yedu vanhu vachienda kumbonogara kune dzimwe nyika. Vadaro vobvazve vonogara kuneimwezve nyika, ikoko vachisangana navanhu vavasingazivi.
4 Kushaya munhu anohi uyu ndiye mukuru wemhuri zvichireva kuti hapana anoziva ukama hwemhuri pane dzimwe mhuri.

Zvadaro unokwanisa kusangana nomukomana/musikana akanaka zvokuti modanana. Zvinohi vanhu veukama vane ATTRACTION yeropa yakawedzera saka unobva waita rudo gusingaiti. Ipapo motadza kubvunzana mutupo kana dzinza. Pakudanana kwenyu zvakawanda zvinokwanisa kuitika. Munokisana, mobvisana hembhe moisana, mobikisana mapoto, nezvimwe zvakawanda zvisingafanigwi kuitwa nehama. Kunozotiwo panyaya dzokofonerana nevanhuvari kune dzimwe nyika, monokwanisa kuzoona kuti mune nhambha dzefoni dzomunhu umwe wamunoziva mese, kuzoronda nyaya yenyu munoona kuti pakati penyu mune ukama.

Zvinokwanisikazve kuti munoenda kuPARTY mosangana nomunhu wamunoziva mese mohwisisa kuti mune ukama. Kune mhuri iri kuno yakakokwa kumuchato wehama yavo. Vasvikako wanei munhu waari kuchata naye ihama yavozve yavanga vasingatozivi kuti ari kuno. Ipapo paitoti kana dai vari kumusha vaikokwa kumuchato wemukoma na kana wemusikana. Asi kusazivana kwevanhu kwanga kwaita kuti vaviri ava vasangane, vadanane, nokuronga yokuroorana, ipapo musikana ange atova nemimba. Hapana ange abvunzurudza umwe kuti hama dzako dziri papi chaipo. Kungoona runako ndokuputswa fungwa dzimwe.

Kozotiwo kuChikaranga kwedu haukwanisi kuwana munhu waunoshaya ukama naye asi pano tiri kutaura ukama hwepedo zvokuti unotoona kuti dai muri kumusha dai mega musina kutombonyengana.

Saka kana zvadai modii. Kana wasangana nehama, musingazivani mukadanana mukavata mese zvokutodanana henyu zvisi zvechihure, panoitwa sei musi wamunoziva kuti muri hama chaidzo. Tichitarisa paChikaranga tinoona kuti pane ukama hunokwanisa kuchekwa kana zvinhu zvaipa nomutowo uyu. Pozoita ukama hunonetsa kucheka. Kare kwaiva nemombe yaifa ichihi ndeye Chekaukama kureva kuti vakuru vaiudzana kuti tinoziva hedu kuti tiri hama, asi hazvichaiti kurambidza vana kuroorana saka ngatichingonyebera kuti tange tisiri hama asi tabatanidzwa navana.

Chekaukama yaibvumidzwa kana:
Musikana ari muzukuru mwana wemuzukuru mwana watete vababa vemukomana. Kureva kuti sekuru vemukomana nambuya vemusikana ndivo hazvanzi. Zvikuru kana musikana ari mwanasikana wemwanasikana watete ava. Chainyanyobvumidzwa ndechokuti kana paita mazera mana kubva pakazvagwa hama idzo asi padzakazvagwa vana vadzo vasina kuera mutupo umwe chete. Uyu mufananidzo wandapa wainge uri wemazera matatu saka dare raigagwa iri nyaya yokuti vabereki vomusikana vazukuru vava kuitiswa vana tezvara norudo gwevana.

Mazera matatu ainetsa kugadzirisa zvokuti pamwe vaiti ukama ngahurambe hwakaita zvahwange huri asi tongochinja IMMEDIATE FAMILY yevaroorani ava.  Saka muzukuru uya ava muroora aikwanisa kungoti akaona baba vomurume oramba achivati sekuru, pamwe kana ada oti baba.

Imwe nyaya yaibvumidzwa ndeyokuti kana mukomana anyengana namainini mununguna wamai vake asiri mwana wavabereki vamai vake, toti ndewekwababamukuru kana babamunini. Zvaikwanisa kubvumidzwa kuti varoorane mwana namainini vake.

Zvisingabvumidzwi ndezvokuti vanhu vane mutupo umwe chete varoorane. Maitoudzwa kuti zvamaita hazviiti chitokangamwai kuti mazviita motosiyana modaidzana noukama hwenyu kuti hazvanzi kana kuti tete nomwana wehazvanzi.

Mazuvano pamwe munozoziva matova nomwana. Kuti muchizvikangamwa kana kusiyana, hazviiti. Kana kudanana nehama chiri chinhu chikuru chausingadi kuita, unofanira kuti ukanyengana nomukomana/musikana, kasira kubvunza kwaanobva uye mutupo wake. Asi chero ukadaro, unokwanisa kunge wasangana nomunhu akakurira mudhorobha asingazivi zvinhu zvemhuri yake, Kozotizve vanhu vakakura vachiti vakambogara nemhuri iyi, vobva vonogara neiyo, iri ngari yokuti vanga vasiiwa vari nherera. Vanhu vakadai vanokwanisa kusanyatsorondedzegwa ukama hwavo nehama dzavo. Saka unokwanisa hako kubvunza asi kana nyakubvunzwa asingazivi munoita nguva muchidanana mozoziva masangana nomunhu anozviziva. Ipapo zvese zvisingafaniri hama kuita matoita.

Pachirudzi chedu hama hadzidanani, kana kuvatana kana kuroorana kuzhe kwekuti varamu. Tangoti timboitanga nyaya iyi nokuti yaitika kakawanda. 

Kune vamwe vanotodanana vachiziva kuti ukama hwavo huri pedo. Kutobva munyika vachinogara kure kuitira kuti vadanane pasina anovabvunza. Havasivo vakadaro vatiri kutaura pano. Pano tiri kutaura nezvevanhu vanosangana vodanana vasingazivi kuti ihama. Zviri kuitika zvakawedzera uye kune vanotyiswa nokuziva kuti vari kuvata nehama. Ndosaka nyaya yasvika pano. 

Munhu bvunza mutupo wewawada, wamai vake newake. mohwisisana. Kuziva kuti wakavata nehazvanzi yako yokwababamunini/babamukuru, muchiira mutipo umwe chete chinhu chinotyisa vanhu vane njere. Asi tinohwa kuti pane vamwe hazvanzi vakatobva muZimbabwe kundogara kuSouth Africa kuti varambe vachivatana asi vachitoziva kuti ihama dzapedo. Uhu umbwa zvokuti hapana zvokuzviita. Inyaya inotongwa nemhuri dzavo. Pamutemo hazvanzi haivatwi nayo. Hazvinei kuti ihanzanzi rudzii kana mubvandiripo wamai kana baba kana wemurume wamai, mukadzi wababa ihazvanzi yako haivatwi nayo.

Asi ngatihwisise kuti panyika pano pane vanhu vari CORRUPT vasina hanya nemitemo yeupenyu kana kuti yakabvepi. Vanotoona sokuti zvinovakonesa mufaro.


Udzai vamwe!!!

Saturday, 3 August 2013

Vabereki pamusha wemwana

Pane nyaya dzakawanda dzevabereki dzinovaka kana kuputsa musha wemwana. Ngatisafunga kuti mubereki wese anofarira mwana wake kuva nomuchato wakasimba. Kune vamwe vasingazvifariri, vanoita zvinhu zvinoputsa musha wemwana wavo vachiziva kuti ndizvo zvavari kuita. Ngatitangire pakubvumirana kuti iwe kana waroorana noumwe munhu, chinangwa chenyu chiri pakuvaka musha wenyu nokuzoita vana venyu vamunoda kurera mese pamwe chete. Muchava vanhu vanomufaro chose kana machembera vana venyu vese vari vapenyu uye vabva pamusha penyu vachienda kunovakawo misha yavo.
Asi kazhinji tinoona zvisirizvo. Tinoona zviito zvevabereki zvichikanganisa upenyu hwevana vavo. Ndiyo nyaya yatinoda pano kumbotaura nezvimwe zvezvinoputsa misha yevana zvinoitwa nevabereki.

Kuhura kwamai vemukadzi
Kana uri mukadzi akawanikwa pamurume anokuda chose chose, mai vako ndokuzikamwa kuti munhu anoita zvechihure, zvinonetsa kuti murume wako asafunga kuti iwewo unokwanisa kuva unohura kana kuti uchazoda kuhurawo imwe nguva. Kufunga kwakadai kunobva pakuziva kuti munhu wese anoita zvaakakura achiona munhuri yake. Kana vabereki vaiva vanhu vanohura zvinonetsa kuti iwe ugoreriwa navo ugosafunga kuti kuhura chinhu chakanaka. Saka apa murume achikuongorora anotambudzika moyo nenyaya yokuti mai vako vanohura.

Kumwe kuhurawo kunoonekwa kuti maitire acho anoda sabhuku chaiye. Sezvatakamboona mu BIRMINGHAM umu mai vemukadzi vavhakasha kubva kuZimbabwe, ndokuita mwedzi mitatu vachigara nemwana wavo nomurume wake vachirera mwana wemwana. Kuzoti vajaira kugarapo ndokufunga zvevarume, vopota vachiti mwana nomurume vari kumabasa ivo vosara vachipinza murume mumba ivo murume wavo ari kuZimbabwe. PaWeekend vondovata kumba kwechikomba chiya.
Iyi haisi nyaya inokwanisa kungohi ndeya mai ava chete inokoka hama dzese dzinokwanisa kuudzwa yoonekwa kuti mwana wavo muchato wake wava nemabhikozi akawanda nokuti murume haachina shuwa kuti mukadzi wake anozvitora sei. Mai vemukadzi vanohura hachisi chinhu chokuiginowa zviri nyore chero uchida mukadzi wacho.

Mai vemurume vanohura
Kana ukakura uchiziva kuti mai vako vanohura, uchiona zviito zvavo zvokuhura, ukazoroorawo mukadzi wako, mufungwa mako vakadzi vese vanohura, saka zvinonetsa kuvimba mukadzi wako. Unobva wangoitawo zvaichiita baba vako pavaziva zvikomba zvamai vako. Hasha, kupopota, kufungira, etc. Unoona munhu achingoda kugarotarisa foni yemukadzi wake kuti aone kuti hapana zvikomba zvambomufonera here. Foni ikarira mukadzi akadavira, zheve dzemurume dzomira kuti ahwe kuti ndiyani ari kutaura nomukadzi wake. Pavanopedza kutaura unohwa obvunza kuti “Ndiani akufonera?” Anoda kuziva kuti munhu afona haasi chikomba.

Adaro otarisazve EMAIL yomukadzi pachivande, kuti azive zviri kuitwa nomukadzi wake zvese.
Kare kuita vamwene vanohura zvaisvodesa asi mazuvano unotoona muroora navamwene vese vakapfeka zvikabudura zvinoshinya, magaro akasungwa zvinoridzisa varume muridzo.  Asi muroora anozoti ava mumba make nomurume wake ofungigwa zvakawanda.

Kuhura kwababa vemurume/mukadzi
Vanababa kubva kare vaingohura asi tichitarisa tinoona kuti vanakomana vakawanda vanokopera zviito zvamadzibaba avo kureva kuti mwana ana baba vaanoziva kuti vanohura achadawo kuhura. Mwanasikana ana baba vanohura achava munhu anoti murume wake akahura anozvigamuchira sokugamuchira kwaiita mai vake pakuhura kwababa vake. Pamafungire ake, varume vanhu vanohura.

Pane Zvimwe.
Mafungire awa ndiwo amwe chetezve panyaya dzakaita sevabereki vanoba, vanogaropopotedzana, vanogarorovana mumba, vanonyanyoda mari kupfuura vana vavo. Ukakurira mumhuri yakadai, ukasazviongorora zvakanaka unongotevedzerawo izvozvo wakura.

Kutonga nyaya dzemumba yemwana.
Mwana wako kana aroora/aroogwa hazvirevi kuti ava munhu akachenjera pazvinhu zvese. Iwe pawanga uri zera rake, wanga uchitodzidzawo pazvinhu zvemumba. Pane zvakawanda zvaasingazivi zvaanoda kuraigwa pazviri. Mazuvano vanhu vechidiki vajaira kuti akada chinhu anochiwana. Zvino kana ava mumba akati anoda kuitigwa ichi kana icho, uya waanoudza asingazivivo kuti chinoitwa sei, panopopotedzanwa, iwe mubereki woerekana mwana asvika pamba pako asiya murume/mukadzi kwahi handichamudi. Kuti ubate pene musoro wenyaya zvoramba.

Unohwa mai voudza shamwari yavo mwana uya atiza murume aripo kuti “Taifunga kuti murume kwaye izvo ibenzi remunhu. Haana zvaanoziva. Dai Eresina asina kutiza mumba dai akatofa izvozvi. Ngaachitogara zvake pano. Zvokuwanikwa zvaramba.” Iyawo shamwari iri kuudzwa yotogara pasi kuti tii ibikwa nyaya dziwande. Vese vakangamwa kuti ivo vaimbotukanawo nevarume vavo. Hapana anofunga kuti acharera zvivana zviviri izvi zvauiwa nazvo ndiani.

Vanhu dzidzai kudzikamisa hana dzehama dzenyu dzakaroorana kuti vanhu vayanane pane kukuchidzira kupopotedzana kuya. Kutiza murume/mukadzi uchinopotera kuvabereki vako hazvirevi kuti wada kurambana naye. Zvinoreva kuti pane chimwe chausina SKILL yokuchibata nayo saka watiza. Mubereki ngaabvunzurudze ahwe pane nyaya agokupa SKILL yacho yokugadziridza nyaya hana yakadzikama. Kana ukadzikera ukanogadzirisa unenge wawedzera kukura. Pazvinozoitikazve, pane kutiza unotaura nomubereki pafoni wopiwa SUPPORT yauri kuda.


Kana mwana nomurume wake vapokana, iwe mubereki hwisisa kuti vana hava EXPERIENCE yokugara vese saka vanoda kudzidziswa magarire uye kuti musha unovakwa sei. Kuvaka musha haisi nyore saka ukatovabatsira pachinhu chimwe chete watogona. 

Vabereki panyaya dzerhoji
Koti kana mwana ane nyaya dzokuvatana dziri kumunetsa zvikuru vabereki vanongoudza mwana zvikuru manasikana kuti ngaaende anovata nomurume. Havabvunzi DETAIL yokuti chii chiri kunetsa pakuvatana kwavo kana kuti zvakatanga riini. Havakasirizve kutaura kuti vana ngavaende kuchipatara vanoonekwa. Kuvanhu vakuru vanongova neruzivo gwekuti murume nomukadzi vanopinzana chombo vosiirana urume nyaya yatopera.

Kuzoda kutaura kuti bodo murume anondibata chibharo kana kuti anondikasirira hapana anozvihwisisa saka mhosva haitongwi zvine musoro wenyaya. Vana nevabereki vavo parudzi gwedu havataurirani nyaya dzerhoji vachihwisisana. Kare zvainzi enda kwatete unodzidziswa, mukomanawo ohi enda kwababamunini undodzidziswa. Mazuvano, nenyaya dzokuti vanhu vemhuru vanogara vakatarangana uye vanhu vakawanda vakafa, unokwanisa kungosara une vabereki chete.

Mubereki anoremegwa nokutaurira mwana wake nyaya yeRhoji. Kuti mai vaudze mwana wavo kuti asangoda zvokuvata manhede chete asi ambofongorawo nokuti zvinonaka zvakasiyana, vanoona sokuti mwana anozofunga kuti ndiwo maitire avo nababa. Saka nyaya yese inozotaugwa nechibhende zvokuti mwana hapana chaanohwisisa.

Ndakambova panyaya yeimwe hama yedu yanga yave nenguva isina mimba. Paakanotogwa ndokuuyiwa naye kumusha, tete vakangomubvunza mubvunzo umwe chete. "Uri kuvata nomurume zvakanaka here?"  Iye ndokungoti "Hongu." Zvikabva zvatopera. Hameno kuti chavakahwisisana ipapo chii. Ndakatozoti ndava naye musikana ndokumubvunzurudza kuti chaange achiti HUNGU chii, uye anoziva sei kuti ari kuvata nomurume zvakanaka. Ndipo pakazobuda mashoko akawanda.

Kana wada kubvunza nyaya idzi kumwana wako akawanikwa, asi uchisvoda kubvunza, nyora mibvunzo yako pasi ugoita yokuverenga, kana kunopa tete vobvunza mwana. Ukuwo kana uchida ruzivo kubva kumubereki nyora mibvunzo yako ugovatumira vagonyora mhinduro vagodzosa. Pakubvunza mai vanogona chirungu vhenganisa chirungiu nechiKaranga kuti zvisanyanya kusvodesa.

Vabereki nevaroora/vakuwasha
Pane nyaya dzinotukanisa vanhu pamusha dzinobva kuvabereki vemukadzi kana vemurume. Zvikuru kana mai vemurume vagara vatovenga muroora wavo. Unohwa mashoko obuda kuti:
Haagoni kubika
Haaisiri murume mvura yokugeza
Haagoni kuaina
Mai vake vanohi vanoroya
Iye moroora akurisa
Imvana
Takahwa kuti anohura
Akapiwa mari na Tomasi.
Madhirezi ake mapfupi.


Zvaunoudzwa zvakawanda. Umwe wandinoziva aingonzwa vamwene vachiudza shamwari dzavo kuti mwana wavo akaroora mukadzi akashata zvokuti, iye ipapo ari pazhe achisuka ndiro, vamwene neshamwari yvo voridza chikwee mumba. Havasi kuziva kuti ari kuhwa zvavanotaura.

Vvamwene vanokwanisa kuisa ruvengo pakati pake nomwana wavo. Vabereki, zvikuru mai vemurume, vanhu vane simba rokupokanisa. Ini ndogara ndichiudza varoora vatsva kuti kana wasvikako ona kuti washamwaridzana namai vemurume wako nokuti ndivo vano key yomoyo wemwana wavo. Mwana anoda kugaroudzwa kuti akagona pakusarudza mukadzi. Kana mai vake vakatanga kumuudza kuti mukadzi wake ane matambudziko okuti neekuti, anoona sokuti mukadzi waanaye haasiri iye aanofanira kuva naye.

Mwana, zvikuru mukomana, anofanira kusapotwa pasarudzo yake yomukadzi. Kana uri mubereki, une nyaya nomuroora, muudze muri vaviri kuti chii chaunoda kumutsiura. Muroorawo kana vamwene vakutsiura, REACTION yako unovataridza kuti uri munhu akaita sei. Ukataridza kutenda nedzidziso yavo, vanokuudzawo zvimwe zvakawanda somwana wavo. Ukavapindura zvine hasha kana kuti zvinotaridza kuti havana kudzidza sewe, watozvipinza pakaoma. Hwisisa kuti mwana wavo anoda mai vake kukupfuura uye iwe uri mutogwa pamusha apa. Akutsiura ndiye hama yako.

Kana uri mwanasikana vabereki vasingafariri murume wako, unokwanisa kungogara kure navo nokuti unoenda kumurume wako.

Wedzerai vanowedzera.

Udzai vamwe!!!!!!

Tuesday, 30 July 2013

Mukadzi/murume asina zvaanonzwa pakuvatana

Kune vanhu vanoti pkuvatana chero ukaita sei naye hapana chaanohwa chakasiya nokungobatwa gumbo kana kumhoresana. Ari mukadzi anenge ane chombo chomurume mukati asi zviya zvatinoti kunakigwa anenge asina zvachose. Unohwa kuti chombo chapinda uye chiri mukati asi haahwi kunakigwa sezvinoita vamwe

Koitawo murume anomira chombo sevamwe varume, opinzawo mumukadzi wake osvika pakutobudisa urume asi haanakigwi sezvinoita vamwe varume.

Iri idambudziko guru kune vanozviita nokuti vanoziva kuti hapana chavanohwa asi hapana chavanokwanisa kuita kuti zvinake. Ticharamba tichitsvaka nyaya dzakabatana neiyi asi ndainyora pano kuti kana wakaroorana nomunhu akadai usamupa mhoswa pazviri nokuti hapana chaanokwanisa kuita chero ukapedza nguva yakadii muchivatana hazviwedzeri kunaka anongoneta chete.

Ndichawedzera nyaya iyi. Asi kana pane anazvo atiudzewo kuti pane zvaangajekesera here. Mu Europe neUSA kune vanhu vakawanda vari panyaya iyi.

Mafambire azvo anoti munhu anoita zemo sezvinongoitawo vamwe. Adaro anoda zvikuru pikinza kana kupinzwa chombo asi kana chombo chava mukati hapana chainohwa. Anohwa chombo chichipinda nokubuda asi kunakigwa kuya kwkurhojewa hapana. Anongozomirirawo murume kuti apedza pasina chake panyaya. Ipapo nokusanakigwa zemo riya raatanga naro rinenge rapera kare murume asina kupedza.

Murume anoitawo izvi anomira chombo savamwe asi ava mukati memukadzi chero akaita sei hapana chaanohwa. Chero pakubudisa urume haana zvaanohwa.

Vamwe vaimbofunga kuti zvinoitiswa nokukura kwechombo kana kuva LOOSE kwe chitubu asi zvakaonekwa kuti mukadzi anokwanisa kuva nedambudziko iri uku ane murume ane chombo chikuru chose ukuwo mukadzi anotokomburena kuti chombo chinonetsa kupinda anokwaisa kusanakira murume. Saka zvofungigwa kuti iye nyakusanaka ndiye ane dambudziko.

Zera romunhu:
Zvinokwanisika kuti munhu aimbonakigwa chose abve angomira kunakugwa pasina chinoonekwa kana kuhwisiswa chinoratidza kuti zvinhu zvachinja. Dambudziko iri rinokwaisika kutanga chero paradira uye rinowanikwa kuvanhu vari pasi pemakore 20 kuzvika kuvanhu vava vakuru.  Saka harisi dambudziko rezera.

Rudo: 
Zvinowanokwa kuti kune vanhu vanodanana nomoyo wese asi umwe asinganakigwi nokuvatana kwavo. Iye wacho asinganakigwi achitotaurira varapi kuti murume/mukadzi wake anomuda zvokuti haahwisisi kuti sei asinganakigwi.

Rudzi: 
Haisi nyaya yorudzi nokuti zviri kunyika dzese uye kwese kuvakadzi nokuvarume. Chinongozosiyana ndechokuti vanhu vanobva kunyika dzmwe vanokasira kunoonekwa nevarapi nokuti hazvisvodesi kuva nedambudziko. Kozoita nyika dzinevanhu vanoona sokuti kuita ambudziko panyaya dzekuzasi zvinosvodesa zvokuti kunonyoresa kwamurapi hazvikwanisiki. Ndipo muchiona kuti zvinoita sokuti vanazvo vashoma mune dzimwe nyika. Asi chero varapi vasingazvizivi kazhinji vanatete vanenge vachizviziva kuti mwana kana muroora ane dambudziko iri. Kuvarume zvinonetsa nokuti vashoma vanoda kutiura kuti mukadzi wake chero akamurhoj sei hapana chaaihwa.

Mushonga:
Kwedu tinokasira kufunga kuti munhu akaroiwa asi chokwadi ndechokuti hazvisi zvemushonga nokuti muroyi umwe chetewo haangaendi kunyika dzese dzinazvo achingoroya vanhu vaasingazivi. Sak apa tinoona kuti idambudziko revanhu venyika dzese kwete kuti zvinobva kuvaroi. Asi kana kune muroyi anofunga kuti anozvikwanisa ngaatiudze tihwe. Ini ndinowanzoti ndikahwa vanhu vachiti chokuti nechokuti chinoitiswa nomushonga ndofonera Jozefi anogara mu Kwekwe ari mubato reZinatha. Anoti ukamubvunza mubvunzo anonobvunza vamwe vake asati akudavira. Asi kazhinji anodzoka okuudza kuti sokuziva kwake hakuna mushonga wakadaro.
#
Kushaya ruzivo gweRhoji.
Kuno ku UK ukabvunzurudza vanhu vane dambudziko iri vamwe vavo vanotoda kunyatsohwisisa kuti kuvatana kunoitwa nemaitire akadii akasiyana siyana. Vanhu vanoruzivo kupfuura vamwe vari kunakgwa nazvo. Vanotokuudza kuti ndakazama izvi neizvi asi hapana chandiri kuhwa.

 Saka Zvinobva pai? 
Tichitarisa zvese izvi zvatafunga kuti handizvo zvinokonzera kusahwa chinhu kana muchiisana nomurume/mukadzi tinosara tine mubvunzo wekuti saka zvinobva pai. Vanhu rudzi gwemhuka dzinoda kuziva rhizeni yezviitiko zviri muupenyu hwavo uye kuti kana zvichigadziriswa zvingagadziriswa sei.

Ndiyo nyaya yandiri kutsvaka kuti inobva pai. Pari zvino ndataura nevakawanda vane dambudziko iri asi ndinohwa vachingopiwa mazano okuti ngavanoona murapi asi pasina anonyatsotaura kuti chikonzero chii uye murapi anokwanisa kuitei nazvo. Handisati ndasangana nomurapi anonyatsotaura pazvimire kana munhu aimbova nazvo akarapwa akapora.

Saka nyaya iyi iri kuenderera mberi kusvika ndaibata paimire. Pari zvino ndinokumbirawo kuti kana une dambudziko iri, uri munhu akaroorana noumwe munhu, sezvo tahwisisa kuti kana unaro unoitawo zemo sevamwe asi nyaya inozosiyana pakuisa/kuiswa, dai uchifunga sei waizama kungogaroisana numurume/mukadzi wako kuti iye agute chero iwe usingakwanisi kuguta. Zvadaro tiri kuzama kuwana zvikonzero, tozoisa pano kuti upenyu hwenyu nevana hukwanise kuenderera mberi takamirira.

Mafungire evarapi:
Zviri kunzi izvo nyaya yokusahwa chinhu iri pavakadzi kupfuura pavarume. Kune vakadzi vakawanda vanongozvidzidzisa kuchemerera asi pasina chavari kuhwa iri nyaya yokuda kufadza murume kuti afunga kuti agona basa. Asi zvinoreva kuti watanga kudaro wotogara uchidaro.


Nyaya yokuti munhukadzi hapana chaanohwa inonzi ine zvokuita nemafungire emukadzi panyaya yokuiswa nomurume wake. Kunohi kana mukadzi akambobatwa chibharo, zvikuru ari mwana mudiki, anokwanisa kuita MENTA BLOCK panyaya yokuiswa zvokuti chero akavata nomurume ane unyanzvi hwerhoji zvakadii hapana chaanohwa.

Kotiwo vamwe vanongokura vane fungwa yokuti zvinotyisa kana kusemesa kupinzwa chombo nomurume. Munhu anenge achingova nemafungire ari NEGATIVE panyaya yacho. Kubvuma kuiswa kungoda kuva munhu ari NORMAL pakuonekwa asi mu SUBCONSCIOUS make anenge asingadi kuiswa.

Kotizve vamwe kana mukati make musina ma NERVE ENDS akakwana anenge achida kuiswa kwenguva yakarebesa asati anyatsa kuhwa pane moyo. Vakadai vanowanzova vanhu vasina kujaira kuzvibatbata kuzasi zvokuti kana iye muridzi haazivi panonaka nepasinganaki. Anongozotiwo awanikwa opinzwa chombo ohwa pasina zviripo otoshaya kuti ko chinonaka ipapo chiiko. Zvinohi vakadai akada kuwedzera kunakigwa kwake ngaatange nokuzviongorora ega kusvika awana panoti akakwizirira anohwa kunaka. Zvinohi kune vakawanda vanozoona kuti bhinzi inonaka kukwizirira kana kusvetwa nomurume zvokuti anokwanisa kuita ORGASM asi kupinzwa chombo kunongofadza murume kwete iye.

Kune vanoti dzimwe nguva anonakigwa nokupinzwa chombo asi kozoita nguva yaasina chaanohwa. Sokuti azvara mwana kana kuti aita mimba yaange asingadi kuita fungwa yovhara mukana wekunakigwa ichiti nokuti zvandikonzera chinhu chandisingadi. Munhu akadai anokwanisazve kuzonakigwa yave imwe nguva.


Zvinohi vakawanda vanoti hapana chavanohwa, kana akaita zvokufongorera murume, opinzwa kubva kumashure achiita zvikunobaiwa kumadziro ezasi kwakananga kubhinzi, kazhinji zvinobatsira kutangazve kuhwa kunaka asi zvinotora nguva kudzidza kuti maitire enyu aanohwa ndeapi.


Kurerusa muviri chinhu chikuru pakudzidza kunakigwa. Zvinohi bvisa fungwa dzese dzinokunetsa wongosiya fungwa yokuda kuiswa chete. Chero ukatsinzina maziso ukatanga kufunga nezvechombo nemaitire acho uye kuti unoda kudii nacho.

Kufungira murume kuti ari kuhura kana kuti haachakudi kna kuti ane zvigwere, zvinokwanisa kukonzera kusahwa chinhu paanokupinza chombo nokukukoira.

Ngatisakangamwa kuti vanhu vese ava vanoita zemo, uye kuiswa vanokuda chose asi kungoti kana zvatanga muviri unoita REBELION wotadza kuhwa kunakigwa nechombo chomurume. Hazvinei nesaizi yechombo.

Varumewo kana pasina chaanohwa ari mukati memukadzi wake chokutanga kudzidza kuita wega namaoko. wadaro ukahwa zvichinaka chidzidzisa mukadzi kuita namaoko ake sezvaanokuita kana ari kumwedzi zviya iwe une zemo. Madaro chiwanai maitire anobvumidza mukadzi kukoira murume neRYTHM yakada kufanana nezvaanoita kana achiita nemaoko.

Zvinotora nguva asi mukadzidza kutaurirana chokwadi uye kuda kufadzana zvokuti munorerusa miviri yenyu munokwanisa kupedza nyaya yokusahwa chinhi iyi.  Vanazvo vanoti zvinobhowa zvokuti, nokuti zemo unenge unaro.

Saka varapi vanotanga nokutarisa kuti
1 hapana chakaipa pazvinhu zvomuviri wako here
2 Hapana zviri kukudya moyo here
3 Hapana HISTORY yako iri kukunetsa fungwa here pamwe chero wakangamwa kuti wakamboitwa chinhu, fungwa inenge inazvo iwe usingazivi
4 Mishonga yauri kumwa yakadii?
5 Unofungei nomunhu wauri kuvata naye.
6 Kugara nomunhu asina kukuroora iwe wakakurira mumhuri isingabvumidzi mapoto. Apa fungwa yako inenge ichiti uri kuita zvakaipa.
7 Kana uchitya mimba, iri nyaya yokuti wakambonetseka neimwe mimba kana kuti haudi kuitira uyu murume mimba
8 kusada chombo chouyu murume nokuti fungwa yako ine nyaya nacho, (chidiki, chirefu, chipfupi, chakakoresa, chakakurisa etc)

Ongorora mafungire ako pamuri nomurume/mukadzi uyu.

Ngatisakangamwazve kuti kuisana kwese kunotangira mufungwa. Zemo rinobva mufungwa roita mumuviri woiswa, wonakigwa, ropera. Kana fungwa dzine zvimwe zvisina kugadziriswa chimwe chezvizvi hachishandi zvakanaka.


Usarega nyaya yakadai ichigara newe nguva yakareba, Enda kwamurapi umuudze zviri kuitika. 


Zvakadai kana pane akamborapwa akapora ngaatiudzewo nokuti vakawanda vari pakaoma nazvo.


UDZAI Vamwe!!!!