Tuesday, 4 September 2018

Kusiyana kwekunaka neKondhomu kana kuti musina.

Pano toda kumbotsanangura siyano yekushandisa kondhomu kana kuisana musina kondhomu. Mazuvano kuhwisisa kuti kondhomu rinoshandiswa sei zvinokwanisa kukuuraya kana kukuraramisa. Zvinokwanisa kuti uzokwanisa kuiva vana kana kuti ushaye vana.

 Pane zvigwere zvakawanda zvinodzivirigwa nokushandisa ma kondhomu. Zvimwe zvacho zvinonetsa kurapa zvakaita se
  • CERVICAL CANCER,
  • HIV,
  • Syphilis,
  • GENETAL WARTS
  • Herpes Simplex.
  • Human Papillomavirus (HPV)
  • Hepatitis A & B
  • Gonorrhea.

Koitazve vamwe vanobata chigwere chinokwanisa kurapika asi nengari yokuchinonokera zvonetsa kuchirapa. Kondhomu rinobatsira pakudzivirira zvigwere, uye mimba.

Pano hatisi kuda kuwanza nyaya yokuti sei uri kushandisa kondhomu. Tiri kufunga kuti unohwisisa kuti kondhomu basa raro nderei asi toda kubvunza kuti kunaka kwekuisana kwevanhu vari kushandisa kondhomu kwakasiyana here nevasina kondhomu? 

Mubvunzo uyu haunetsi kudavira nokuti mhinduro yawo ndeyokuti zvakasiyana. Mubvunzo unotevera unoti zvakasiyanei.  Tasvika ipapo zvoda kuti tichipatsanisa vakadzi nevarume.  Varume ndichada kumbonobvunza saimba wangu kuti zvakasiyanei saka ndotanga nokutsanangura kusiyana kwazvo kumunhukadzi.

Mukadzi:
Chokutanga ndechokuti zvinoda maoko maviri kupfekedza murume kondhomu nokuda kwechihomwe chiri kumberi kwe kondhomu chinoda kusiiwa chisina mweya kuti kondhomu rusabvaruka murume paanotunda. Saka zviri nani chose kuti mukadzi apfekedze murume kondhomu  Kuti zvidaro munoda kumbopanana zemo, kukisana, nosvetana, kupurudzirana, kukwenyererrana, kuzevezerana muzheve, etc. Kozoti muri pakati pakudaro mombomira motanga zve kondhomu.

 Pamunozopedza zemo rati dzikirei. Mombowedzera futi.  Hazvinakidzi
Chombo chisina kondhomu chinodziya kubata mumaoko kana chakamira. Chombo chine kondomu hachinatsi kubatika mumaoko. Chinenga che FAKE.

Kunakigwa pakuisana kune PSYCHOLOGY yako kwega. Umwe noumwe ane zvaanofunga pakuisana kusvika mapedza. Zvimwe zvacho zvinoita kuti kunaka kuwedzere, zvimwewo zvinoderedza. Saka iwe kana une kondhomu rako nemurume wako umwe noumwe ari kufunga zvake ipapo. Pano tiri kutaura kushandisa makondhomu mumba menyu kwete zvechihure zvine imwewo PSYCHOLOGY yazvo yakatosiyana. Murume nomukadzi mumba. Tabvumirana kuti ngatishandise Kondhomu. Chikonzero tese tinochiziva. Hapana kufungirana chihure, kana chigwere. Tiri tese panyaya. Tese tiri kuda kuisana. 

Kana muchiisana pane nguva mbiri dzinoda kuti unatse kuhwa mumuviri wako. Nguva yokutanga ndeyemurume achipinza chombo. Unohwa achipinda chombo chake chichifasa, kuvura nokuzadza chitubu. Zvinotora nguva shomanana asi zvinonaka chose zvokuti pamwe achipinda unovhunduka muviri. Unomomira kufema kwekanguva kusvika ati godyo.  Wega unongowanika watobatirira kana uri pamanhede. Maziso avara kuti unatse kuterera achipinda.

Heinoi siyano. Kana ane Kondhomu, unongohwa kuti chapinda asi hauhwi kuti chapinda sei. Kana asina kondhomu, unohwamusoro kupinda ugohwa ganda (wangu haana kuchekwa) richikokota madziro, ugohwa muviri wechombo kuti zvakatosiya mapindire azvo nemakweshere azvo mukati.

Ganda re kondhomu rakasiyana chose nerechombo. Chero iwe ukada kupomba chombo chine kondhomu murume anenge asiri kunatso hwa. Kana asina kondhomu ukamupomba nemasuru unotoona achidavira nokuda kwekunakigwa nazvo iye. Iwewo unohwa chombo chichigwinhagwinha mukati zvinonaka chose.

Kana oda kunoti achitunda, kana ane kondhomu unoziva hako kuti ava kuda kutunda kana kuti ari kutunda asi hapana zvaunohwa mukati.  Kana asina kondhomu, unotanga nokuhwa chombo chichiita tuma SPASM tudikidiki tunnaka kuhwa. Pamwe kana une zemo nechekare zvinokwanisika kuti chomho kuhwa chichiita izvi, zvinokonzera kuti uhwe chose kuda kuita ORGASM ipapo. Kana wange uchitokwizirida bhinzi, unohwa zvotokuita sewanyikwa musoro mumvura wotobitirigwa wotoda kufa.

Kana ane kondhomu anowanza anonoka kutunda asizve FEELING yacho haisiriyo chaiyo saka kunonoka kwake ndiko hako asi zvakati siyanei.

Kana ane kondhomu paanotunda chaipo unongoona nemaitire. Kana asina kondhomu kana mange mambogara sokuti mazuva maviri musina kuisana paanotunda unokwanisa kuhwa WARM GLOW mukati achikupa urume. Havasi vese vakadzi vanohwa kutunda kwemurume uye hadzisi nguva dzese paunozvihwa asi paunozvihwa zvinonaka chose chose. Vakadzi vasingadi urume vashomanana. Kutundisa murume chinhu chinofadza chose saka kuhwa achitotunda kunofadza. Kana ane kondhomu haunatsi kuhwa.

Zvinomboitika kuti muri pakushandisa kondhomu, robvaruka. Ipapo parinobvaruka weka unohwa kuti kunaka kwacho kwasiyana chose. Haumbozodi umwe munhu kukutsanangurira kuti zvakasiyanei.

Varume:
Ndichabvunzabvunza asi kana pane anoda kufanotibatsirawo tsanangurai tihwe.Kana une zvaunoziva nyora kukero inoti maichibwe@yahoo.co.uk 

Kuvarume Tawanda ndiye atanga kutijekesera kwahi

"Mai Chihwe condom harinyatsoite. Paya vakadzi pamunenge muchiti varume tishandise condom rudo rwedu rwunobva rwaenda. Murume anozongorhoja hake mukadzi asi mwoyo uri kumakoto! Condom rine too much lubrication zvobva zvawedzera nelublication yemukadzi kusvedza kwacho kunodzikisa kukwesherana kwechombo nenhengo yemukadzi zvobva zvaita kuti kurhojana kubhowe! Chimwe chete chandakaona chakanakira condom kushinya kwarinoita nhengo yemurume. Inobva yanyanyomira zvakanaka! "


Summary: 
Hatisi kuti musashandisa ma kondhomu. Ane basa rawo guru chose. Isu takashandisa ma kondhomu nguva refu chose pandaimwisa mwana wekutanga gore rese. Wechipiri mwedzi gumi neumwe. Nokuti tange tisingadi kuti mwana amwe mukaka une mapiritsi.  Kune varapi vanokupai MINI PILL kana uchimwisa mwana. Isu takangoti bodo ngatishandise ma kondhomu kusvika tarumura. Ndosaka ndichinatsa kuhwisisa kuti rinoshandiswa sei.

Kuvanhu vasina kuroorana asi vanogaroisana, munokwanisa kusarudza kushandisa ma kondhomu  zvisinei kuti mukadzi ari pane imwe PROGRAM yokudzivirira mimba. Kana muchiziva kuti munogarohurirana kana kuti imimi vacho muru kutohurira vamwe vemudzimba, zviri nani mushandise ma kondhomu.  Pano ndangiti nditsanangure kusiyana kwekunaka kwacho asi unongonakigwa zvakadaro. Hatisi kuti hazvinaki. Zvinonaka chose.

Ndaingozvivengera kuti pakati peusiku chero ukapepuka une zemo unomurira kusvika kwaedza nokuti ukambotungidza magetsi mukaisana, unokwanisa kuzoshaya hope. Makondhomu akanaka chose pazvinhu zvakawanda asi anoda vanhu vasingagari vese, uye chengeta akawanda muHANDBAG rako nokuti pamwe mukatanga kuisana munokwanisa kuisana katatu pamaawa maviri.



Wednesday, 22 August 2018

Kusiyana kwezvinobuda muchitubu chemunhukadzi

Pane vakawanda vari kubvunza kuti zvinobuda mumunhukadzi zvinorevei uye zvoitwa sei. Saka pano ndichazama kutsanangura kuti munhukadzi anofanira kutarisa chii pane zvinobuda mukati make uye zvinobvepi uye kuti anofanira kuita sei nazvo.

Ndichanatsa kunyora kuti iwe muridzi ukwanise kuzvionera kuti chii chiri kuitika mumuviri wako.

Ngatitange nokuhwisisa kuti zvinobuda mumunhukadzi pachirungu zvinohi DISCHARGE. Pamwedzi umwe chete munhukadzi anokwanisa kuita maDISCHARGE akasiyana zvichibva nokuti chii chiri kutika mumuviri wake uye mufungwa dzake.

Handidi kunyora zvakawanda pano nokuti ndoda kuti ukangoona pane chabuda, wokasira kutarisa wohwisisa kuti chii. uye uzive zvokuita. Mwedzi wemunhukadzi une mazuva 28 anotanga kuverengwa musi waanotanga kuenda kumwedzi toti Day . Saka tinoziva zvaari kuita musi uyu nokuti ari kumwedzi.


Nguva yomwedziRuvaraKukora Munhuhwi Zvinorevei Zvokuita 
Day 1-4Uri kumwedziKumwedzihapana munhuhwiHapana chokuitaHapana chokuita
Day 5-6Brown Kumwedzi kwaperaKana uchigeza zvakanaka hapana munhuhwiMuviri uri kusuka chiberekoHapana chokuita mirira.
Day 6-11WhiteZvakakoraHapana munhuhwi wakaipawava kugadzirira kukandira zaiChitangai kuisana kana muchida mwana
WhiteZvakakoraKuzasi kunovava kana kunhuhwaune infection inohi YEASTUnokwanisa kunorapiwa kana kumirira zvipere zvega. 
Day 12-16 CLEARKemadzihwa, kusiririka nokutatamuka Hapana munhuhwiunokandira zai rosvika kuchibereko Day 13-15Kuna urume huripo hune utano unokwanisa kubata mimba panguva iyi. Hwisisa kuti urume hunorarama mukati memukadzi mazuva mana, saka unokwanisa kupiwa urume musi wa 9, wozobata mimba musi wa 13.
Day 17-28WhiteZvowedzera kukora Hapana munhuhwizvakanaka izvozvoHapana zvokuita, Munoisana makasununguka nokuti wapotsa mimba, Hapana zai. 
Green InonhuwaUne INFECTIONENDA UNDORAPIWA
Yellow InonhuwaUne INFECTIONENDA UNDORAPIWA
Day 1-4 Brown
kana 
Clear
Yakati korei inoitika mazuva awange uchifanira kunge uri kumwedziine hwema husina kuipaWabata mimbaHazvina mhosva rambai muchiisana ugare une mufaro mumba. Uchazoona wotanga kurutsa kana kuhwa kuda kurutsa zvikur mangwanani. Chiziva kuti mimba yabata. 


Chikuru ndechokuhwisisa kuti kuzasi hakufaniri kunhuwa. Kana ukahwa kuchinhuhwa iwe muridzi, hwisisa kuti wabata utachiona uye hunofanira kurapiwa kana kupera hwega.

Zvinhu zvinoitisa utachiona zvakati wandei zvinoti:
1 Nguva yemwedzi inokwanisa kuwedzera kuberekana kweutachiona hwemumuviri wako

2 Kupisika uchienda mberi kunokwanisa ku konzera utachiona hwekumashure kupinda muchitubu nokuti maburi mavira awa ari pedo napedo (2.5 - 5 cm, average 3.9 cm) saka pedo chose chose. Ndizvo mukadzi wese ane murume achiziva kuti kana mune tsika yokuisana muruma semakozho, ukafongorera murume pamwe unohwa achikutsvanzvadzira achipotsa akupinza kumashure. Ini ndinogaroudza vamwe pano kuti kana muchiisana ita tsika yokubata chombo chomurume wako wochinangisa pokupinda iwe muridzi unoziva pane chitubu chako. Pakutsvanzvadzirana ikoko murume akaseva kumashure akazopinda kumberi, anokwanisa kunga andotorana neutachiona. Mangwana acho iwe wenge wava ne DISCHARGE yakasiyana.

3 Saka apa tiri kuti kuisana kunokonzera kuwanda kweutachiona muchitubu chako. Sokuti murume haana kunatsogeza kana kuti ambokwiza chombo pakati pemagaro pedo neburi rekumashure akanozvuzvurudzana neutachiona hweko iwe wakafongora.

4 Kuti paya uchizvibatsira kubvisa zemo wopinza chinhu chisina kugezwa.

5 Pakugeza pamberi hazvina kunaka kuisa mvura kana chimwe chinhu mukati mako. Geza kuzhe chete nemvura inoti dziyei uye sipo. Usaisa sipo kana chimwe chinhu mukati. Chitubu chinozvigeza chega, ndizvo uchiona ma DISCHARGE akasiyana siyana achibuda anotobudawo nezvimwe zvisingafaniri kuva mukati. Zvakafanana nemaziso. Hakuna munhu waunoona achiisa sipo muziso achirigeza. Ziso rinozvigeza. Geza bhinzi yako, wobhenengura chakafukidza bhinzi wogeza nemvura ine sipo. Kana wamboita zemo pamwe unowana pabhinzi pane gweme rakaita zvimasadza sadza rine hwema husina kururama. Geza ipapa wopukuta zvatopera.

6 Kusagarochinja bhurugwa. Muviri wemunhu unoda utsanana veduwee. Usapfeka bhurugwa mazuva mavhiri usina kuwacha. Zviri nani kubuda hako usina bhurugwa. Hapana chinotyisa. Ingopfeka rhokwe refu chete.

7 Kupfeka bhurugwa romucheka usingafemi. Bhurugwa ngarive re COTTON kwete NYLON kana LYCRA dzisingafemi uye dzinobata mvura. Ita tsika yokupfeka mavhurugwa e COTTON. Kana wakapfeka PANTY LINER chinja kaviri pazuva, pamberi pamboomawo kwete kuswera pakanyorova.

8 Hwisisa kuti kana uchiita ma EXERCISE kana kuti uchifamba pakareba neshoka, unokwanisa kudikitira kuzasi. Kana wasvika kumba, bvisa bhurugwa umbogara usina. Kana uri mumba mako, kugara usina bhurugwa kwakanakira kuti hwema hunobva pabhinzi yako hunonhuwidzwa nomurume wako asingatozivi kuti ari kuhunhuwidza asi zvinomukonzera kuita zemo asingazivi chikonzero nokuti hwema hwacho huri pasi pasi. Ukatarisa mhuka dzese honho yacho inotanga yafembedza hadzi pachitubu, yozotevera nokukwira hadzi. Isuwo hatifembedzwi hedu nevarume vedu asi vanohwa hwema hwacho uye zvinovaitisa zemo. Kugara usina bhurugwa mumba kunowedzera murume kuda kuvata newe.

Saka apa tati garotarisa kuti DISCHARGE yako yakadii nhasi uhwisise zvairi kukuudza.

Hwisisazve kuti mazuva 28 atareva pano i AVERAGE. vanhu vakasiyana pamazuva avo. Vamwe vane mashoma 27 vamwe vane akawanda 33. Saka mazuva emwedzi wako ari pakate pe 27 ne 33.

Koitazve vamwe vanoti mazuva emwedzi uno haafanani neemwedzi unouya. Saka iwe ziva zvauri.

Pakuisana, kana usigadi mimba,
1 Shandisa maKondhomu
2 Enda undipiwa mapiritsi,
3 Enda undobaiwa jekiseni re DEPO,
4 Enda indopiwa IMPLANT.

5 Chiregera kuisana nomunhu wauri kuisana naye. Kuisana musina chokudzivirira mimba kunoitisa mimba. Hausi munyama kubata mimba waiswa ukapiwa urume nomurume. Urume hunoitisa mimba. Kana asiri murume wako, usafunga kuti achakuroora nokuti waita mimba yake. Anototanga kukuvenga zvisingate. 

Udzai Vamwe!!!!!



Friday, 17 August 2018

Nyaya dzese dzemumba dzinotongwa nemhuri here?

Kana maroorana zvinoita chose chose kuti munogaropokana pakati penyu. Mubvunzo iri kuti zvinoita here kuti pese pamunopokana mokwidza nyaya yenyu kudare remhuri yenyu kuti mutongeswe?

Nyaya iyi inyaya diki chose.

Kana maroorana zviri pamutemo wekuroorana wemunyika yedu, tichireva mutemo wechivanhu kana kuti mutemo wakanyogwa mumabhuku emitemo, (hazvina basa kuti Mutemo upi wamaroorana nawo) zvoreva kuti mava mukadzi nomurume uye munokwanisa kuvaka musha wenyu moita mhuri yenyu.

Pane zvakawanda zvinoita mupokane mumba menyu zvisinei kuti mavaka here kana kuti muchiri kugara mumusha wevabereki. Kana mapokana, mese munokasira kuhwisisa kuti makadzidzswa kugadziridza nyaya zomusha here kana kwete. Munotarisa kureba kwenguva yamunoita musati mayanana pakati penyu imi vaviri.

Kana muchipokana zvokuti munorovana mumba menyu. Zvinotoreva kuti pane umwe asina SELF CONFIDENCE pauviri hwenyu. Hamugoni kutaudzana zvine musoro saka kazvinji nyaya dzenyu dzinonoperera kudare remhuri kana kuti kumapurisa. Hakuna musha unovakika pakadai saka zviri nani mufunge zvokuparadzana.

Kotizve kana pasina zvehasha asi musingawanisi kuyanana mega, nyaya dzenyu dzichienda kumhuri dzichindoperera ipapo. Chinhu chakanaka hacho kuti mune mhuri inokusapotai pakukanganisirana kwenyu asi vanokusapotai kuti mukure muzoitawo vakuru vemhuri, kwete kuti murambe muchingoenda kwavari panyaya dzenyu dzese.  Nyaya yedare remhuri inyaya yakanaka chose kana muchiri vezera diki sokuti makore ari pasi pe 30. As kana mapfuura ikoko zviri nani muwane mamwe maitire pakuyananiswa.

Nyaya yokuti mapopotedzana monokwidza nyaya kudare remhuri yakaipira saimba, murume. Inoratidza kuti achiri mwanana nokuti haagoni kugadzirisa nyaya dzemusha wake ega nomukadzi wake. Vakuru vane shumo inoti "Chakafukidza dzimba matenga" kureva kuti zvese zvinoitika pasi pedenga remba yenyu zvafukidzwa nedenga saka hakuna umwe munhu anofanira kuzviziva. Kana muchindokwidza nyaya yenyu muri kutofumurana. Murume ari kuratidza kuti akaroora achiri mwanana. Mukadzi ari kuratidzawo kuti haakwanisi kushanda pamwe chete nomurume wake.

Hazvinei kuti kana mayananiswa munoterera zvamaudzwa uye munozviita kana mava kumba kwenyu. Tiri kuti dare remhuri rakaitigwa kuti rimiririre nyaya huru dzakonekwa nemi muri vaviri.

Unoona munhu achizokwidza nyaya kuna sekuru baba vababa kuti mukadzi wangu haanditereri. Otoda kuti nyaya igarigwe dare. Bodozve. iwe kana waona sokuti uri murume mukuru anohi saimba, unofanira kuhwisisa kuti mhuri yake inoshanda sei. Kana mukadzi asingakutereri zvoreva kuti iwe haumutereri uye vana venyu vachatadzawo kukutererai mese. Sake wanai mukana wekuhwisisana muga pasina sekuru.

Makanyengana mukahwisisana kuti munodanana. Zvakatora nguva asi zvakaitika. Nhasi sei musingadi kuita chinotora nguva. Sekuru kana uchivaudza, uri kuda kuti vawirirane newe hare kana kuti vakuyananisei. Muyananisi akachenjera haawirirani noumwe wevaari kuyananisa. Anongotukirira mese mohi chiendai kumba kwenyu mundogara zvakanaka. Ko imi mange matadza sei kungoti iwe mukadzi/murume wangu ngatigare zvakanaka murudo kwete kunetsa avo vagere zvakanaka.

Saka mhinduro yemubvunzo ndeyokuti Bodo, handi nyaya dzese dzinoda dare remhuri. Kana nyaya iri diki, ngaifukudzwe nedenga remba yenyu. Zvinowedzera CONFIDENCE yenyu mese kudzidza kuti pane vanhu, zvisinei kuti vanhu vemhuri, modzidza kungotaridza kuti mune rudo pakati penyu.

Kana murume wako akakutsamwisa, ukamuudza kuti zvaaita hauzvifariri. Akatanga kukupopotera pakumuudza kwako. iwe chinyarara kusvika atonhora. Asi hama dzemhuri dzikapfuura nepenyu muri panguva yakadai, munonyebera kuti hapana chakaipa. Mofadza hama yaita moyo wakanaka kukuvhakashirai. Kana azoenda motanga henyu kupopotedzana kana kuyananisana pachenyu. Kufumura mukadzi/murume kunoratidza kuti uchiri mwana mudiki mufungwa. Hazviitwi.

Pane nyaya dzinokwidzwa kuvakuru asi unodzikwidza usina waunomhura padziri. Nyaya dzokutukana mumba nezviitiko zvidiki zvomumba hadzikwidzwi kuvabereki. Munofanira kudzidza kudzigadzirisa mega.

Murume/mukadzi akakurova kwidza nyaya kumhuri zvese nokumapurisa igagwe dare
Murume/mukadzi akakurambidza kudzidza kwidza nyaya kumhuri igagwe dare
Murume/mukadzi akakuhurira kwidza nyaya kumhuri igagwe dare
Murume/mukadzi akakuvadza mwana kwidza nyaya kumhuri nokumapurisa.
Murume/mukadzi  akauya kumba nezvinhu zvaaba, kwidza nyaya kumhuri


Dzimwe nyaya dzakaita sokuti
Haunditereri
Wavatirei nebhurugwa ini ndichida kukuvata
Wanonoka ne BREAKFAST
Hembhe yanyu haina kuainwa zvakanaka
Waregerei kutema huni dzandakukumbira kuti tema
Ndakuisira mvura yokugeza asi wauya kuzovata usina kugeza
Mbudzi yangu yadyiwa nemapere nokuti hauna kugadzira danga rembudzi zvakanaka.
Warukwa vhudzi mumba musina muriwo ukatambisa mari
Sei wakangamwa kutenga mushonga wemapete kuTOWN.
Hauna kudiridza muriwo
Ndakati wedzera kuchera tsime mvura iwande iwe unoswera uchibatsira Baba Chipo kuveza duri.


Dzese idzi inyaya dzepwere dzinofanira kugadziriswa pauviri hwenyu uye pasina zvokutomboti vakuru vanoziva kuti mambotukana pazviri. Bodo. Ndezvenyu mega.

Hwisisai kuti iyi inyaya huru inoda vakuru. iyi inyaya diki inoda kugara pasi totaura yopera todzokera pakuva mukadzi nomurume vanohwisisana. kugarokwidza nyaya kuvakuru kunoratidza kuti uchiri pwere. Wakaroora zera risati rakwana.  Murume ndiye mukuru mumba. Ndiye anofanira kugadziridza nyaya nomukadzi wake. Ndiye anotungamira musha wake. Ndiye anoziva kukura kwenyaya. Ndiye anovaraidza mukadzi pakushushikana mumba. Murume haafaniri kuhwikwa achipopota kunge munhu akadhakwa nedoro. Zvinotaridza kuti uri fuza, munhu asina njere.

Kana matsamwisana mumba, murume ndiye anotanga kutaudza mukadzi nokugadzira nyaya.






Kutangazve kuvatana maregererana chihure

Nyaya iri pano ndeyokuti munotanga sei kuvatana kana mambomira nokuda kwenyaya dzokuhurirana. Inyaya yabvunzwa nevamwe pamusoro pekuti zvinorema kuti waregerera mukadzi/murume akuhurira, munongobva matanga kuvatana musi iwoyo wawamuregerera here kana kuti pane zvimwe vinofanira kuitwa kuti muzokwanisa kuvatana.

Chokutanga ngatiwirirane kuti sei tichivatana nevarume/vakadzi vedu?  Pane zvakawanda zvinobatsimhuri kana tichigarovatana mumba vabereki.

1.     Kuvatana kunorapa nokudzivirira zvigwere zvakati wandei kuvaume nevakadzi
2.     Kuvatana kunovaraidzana kuti hana igare yakadzikama, hasha dziri shoma mumba
3.     Kuvatana kunoyananisa kana mamboukana umwe akawana mukana wekukumbira regerero ukamuregerera kazhinji munovata maisana musi iwoyo kuratidza kuti zvamatukanirana zvapera.
4.     Kuvatana kunoita kuti uhwe fungwa dzako dzichikuudza kuti uri munhu akakwana woita CONFIDENCE kuti uri mukadzi akakwana nokuti unoisana nomurume wako. Uri murume akakwana nokuti unoisana nomukadzi wako.
5.     Kuvatana kutaudzana pasina mashoko. BODY LANGUAGE zvinova zvinohwisiswa nemi mese. Munenge muri pamwe chete muchihwisisana.
6.     Kuvatana kuno deredza BP.
7.     Kuvatana kunorerusa muviri (RELAX)
8.     Kuvatana kunoita ufunge kuti unodiwa noumwe wako nokuti anofarira kuvatana newe.
9.     Kuvatana kuoitisa mimba inozvara mwana wenyu mese kuratidza kuti muri pamwe chete COMMITTMENT
10.  Kuvatana kunonaka chose chose kana muchiita zvakanaka
11.  Kuvatana kuita muite hope dzakanaka zvinova zvinowedzera utano.
12.  Kugarovatana noumwe munhu kunoita usinunguke pamoyo kana unaye.

Saka ukabata umwe wako achikuhurira mukachimira kuvatana, Zvese izvi zvange zviri pakati penyu hazvichipo. Iwe fungwa dzako dzava kufungira kuti murume/mukadzi wako ari kuhura noumwe munhu.

1.     Wofunga kuti haachakudi.
2.     Hamuchataudzani pasina mashoko,
3.     Hauchazivi zvaari kana zvaanofunga.
4.     Hamuchisiri panzvimbo imwe chete mumba menyu
5.     Hasha dzowedzera mumba
6.     Yananiso hapachina
7.     Hauchamuremekedzi wongotaurira vamwe vanhu zvese zvomumba menyu kuita sokuti imwa haisiri yako.
8.     Ruvombo hapachina
9.     Rudo hapachina.

Pamba pangova nevanhu asi chakavabatanidza hapachina. Zvava zvokungoti hapana kwekuenda.

Zvino nyaya iripo ndeyokuti vanhukadzi vanokwanisa kuregerera kupfuura vanhurume. Kuregerera kwevanhukadzi kwakatosiyana nekwevanhurume. Ingari yokuti murume wako anokuona semunhu wake zvakangofanana nemaonere aanoita munda wake kana kuti mota yake. (POSSESSION) Asi mukadzi wako anokuona somunhu waari pamwe chete naye PARTNERSHIP. Ndiko kusiyana kwenyu pamafungire.

Mukadzi wako anokwanisa kukuregerera kupfuura zvaunokwanisa iwe murume kumuregerera panyaya dzechihure.

Unohwa mukadzi wemunhu achipopotera murume kana kudembademba kumurume achiti

“Iwe ndakakuregerera wahura kaviri kese asi nhasi ini ndahura kamwe chete iwe hausi kuda kundiregerera sei?”

Mukadzi akadai haanatsi kuhwisisa mafungire evarume. Iwe uri chinhu chemurume wako asi iye haasi chinhu chako. Murume wega wega haawani zviri nyore kukuregerera. Mazuvano varume vanoudza vakadzi vavo kuti “Enda undohura tiwane mari. “  vawanda chose. Murume akadai anenge achigamuchira mari yauya nomukadzi wake mumba, achinatsa kuziva kwairi kubva, asi chokwadi ndechokuti haabvunzi mukadzi panyaya dzokuhura nokuti zvinokanganisa fungwa dzake. Kungoti iye haakwanisi kuriritira mhuri saka anobvumidza mukdzi kuhura.
Imwezve nyaya ndeyokuti kuregererana kunotora nguva uye munenga mambotukana nokutsamwisana pamwe munotombovengana chaizvo zvokusada kutomboonana. Pamwe munofungirana kuti dai afa zvake ndikasara ndega nokuti andigumbura chose. Pamunozoregererana zvenge zvava zvokungoti munhu uyu ndomuda saka rudo gunoti regerera kana ahwisisa kuti anditadzira. Asi hazvisi nyore. Kana mukadzi/murume awakambohura naye musati maroorana, kana akazohura futi maroorana unongogumbuka nazvo, zvisinei kuti iwe wakamutora kubva kune umwe murume/mukadzi, saka aitori hure nechekare.

Kotizve kusavata naye haisi nyaya yokuti hauna zemo kana kuti haudi kuvata naye, asi kuti hana chokwadi kuti ahwisisa kukanganisa kwake uye kuti uri kugwadziwa moyo zvakadii nokuti akunyadzisa zvakadii pamhuri dzenyu neshamwari dzenyu. Haumbooni kuti iyevo azvinyadzisa kuvanhu ava.

Saka apa tiri kuti zviitiko zvese ivi zvinokonzera kuti nguva yamusingaisani irebe, muchingotaura nokupopotedzana. Kozoti nyaya yasvika pokuti munofanira kududzirana kuti iri papi zvechokwadi.  Mukuru wemhuri yenyu anobvunanisai kuti ahwisise zvokuita nokuti hazvina kunaka kuti murambe muchipopotedzana.  Anoti

Iwe mukadzi, murume wako zvaahura uchiri kumuda here? Iwe woti unomuda asi ngaaripe muripo wekuti kuratidza kuti ahwisisa kuti andigumbura.

Iwe murume zvawahurira mukadzi wako uchiri kumuda here kana kuti wava kuda hure rako. Murume anoti bodo, ari kuda mukadzi wake. Hure raingori munhu wekutamba naye.

Mukuru wemhuri anoti kumukadzi, waterera murume wako achizvitaurira ega kuti anokuda. Iwewo watidudzira kuti unomuda saka mese chitiudzai kuti munodzokerana sei uye riini.

Murume anotaura kuti azvipira kuti haadzikeri asina mukadzi wake. Afara chose kuti ahwa mashoko erudo kubva kumukadzi wake.

Zvadaro vanokwira mota vodzokera kumba kwavo.
_______________________________________________
Mukuru wemhuri anoti:
Iwe murume, mukadzi wako zvaahura, uchiri kumuda here? Iye woti anomuda asi chikomba chake ngachiripe muripo wekuti, kuti agamuchire mukadzi.

Mukuru oti: ko iwe mukadzi zvawahurira murume wako unoda ani pakati pavo? Mukadzi anotanga kuchema kuratidza kuti ari kutaura chokwadi, otaura kuti anoda murume wake. Chikomba akanghurawo nacho nokuti vakaburuka bhazi vese vakafamba maKILOMETRE manomwe vese kwasviba. Zvakangomubatawo zvakaipa akahura nemurume uyu asi haanei naye zvachose. Iyewo ane mukadzi wake akatouya kumba kwangu akandirova, Handina kana kumbodzorera nokuti ndaiziva kukanganisa kwangu. Murume wangu ndinomuda asi ndange ndave nevhiki mbiri dzese asingandibati usiku.

Mukuru oti: Saka sabhuku wechikomba chako atora mombe dzarebwa nomurume wako. Ini ndichanodzitinha. Sakai mi munofungei nezvamunoda kuita mese mati munodanana. Murume wako ati anokuregerera.  Mukadzi oti, anoda chose kudzokera kumba kwake nomurume wake uye anotenda noruregerero gwaapiwa nomurume wake.
________________________________________________________
Zvadaro vanokwira mota yavo vodzokera kumba kwavo.


Ndipo panotangira CHAPTER ino yatiri. Masvika kumba kwenyu, maregererana, munotanga sei kuisana? Nyaya mbiri idzi hadzina kufanana zvisinei kuti padziri dzese umwe ahura uye padziri dzese, nyakuhura aregeregwa. Yomukadzi ahura inokwanisa kukonzera nyaya dzakawanda pane zvokuzoisana kwavo vava kumba kwavo. 

Hezvinoi zvinokwanisa kuitika mufungwa dzako paunofunga kuti uyu murume/mukadzi wako uye unomuda saka unofanira kumuregerera.  Pakunoda kumubata sezvamaiita kare, unokwanisa kuhwa fumgwa yako  kuita izvi.

1 Kusemeswa nomurume/mukadzi wako
2 Kuda kuzvienzanisa nehurekadzi/hurerume reumwe wako
4 Kufunga kuti ukawedzera kuda kuisana naye anokangamwa kuhura kwake

Dzokera kwamakatangira undoongorora kuti kuisana mumba menyu kunobatsirei uye kunobatsira ani?  Tambotaura kuti kunobatsira pane izvi.

1 Kunorapa  zvigwere uye fungwa

2  Kunovaraidza anogwadziwa pamoyo neanochema mufungwa (COMFORT)

3 Kunoderedza kupokana mumba. Munopedzera shungu pakuisana.

4 Kunokuita ufunge kuti une chiremera kune umwe wako nokuti ari kuzvipa kwauri. Murume arikuda kuvata newe saka anokuona uri munhu akakodzera kuvata naye nokuti chombo chake chiri kutomira kana wamubatabata. Mukadzi wako ari kukuvhurira uye ari kunyorova kureva kuti ari kuda kuiswa newe,

5 Kunootaridza rudo pakati penyu. Munoudzana rudo mukuisana kwenyu zvisinei kuti hamutauri nezvokudanana kwenyu. Maitire enyu anotaridza rudo.

6 Zvinotaridza kuti uri kuda kumufadza iyewo ari kuda kukufadza.

7 Zvinorerusa muviri

Hwisazve kuti kazhinji munenga mambofumurana kuhama neshamwari. Vanhu ava vakazoona mava mese futi, zvoita sokuti ivo pavaikupai mazano ndivo mapenzi. Saka uchaona kuti havaswederi pedo nemi nokuda kwekunyadziswa nezvamaita mese. Kuti uyu ahura, uyu aregerera.

Kana ukafunga kuisana kwenyu unokwanisa kuona sokuti uri kukanganisira hama neshamwari dzakakusapota pakukanganisa kweumwe wako.

Kana watarisa zvese izvi, chizvibvunza kuti ndezvipi zvauri kufunga kuti mukatanga kuisana futi zvingave zvikonzero zvokuti ungada kuti muisirane. Kana ukawana zviviri kana zvitatu, zama kunoudza umwe wako mafungire ako mubvunzane kuti iyewo anofungei pazviri.  Kana iyewo akawana zvikonzero zviviri kana zvitatu. Chimbobvunzanaiwo kuti zvisipo izvo hazvipo nengari yeyi?  Zvinokwanisika here kuti uri kuti wamuregerera iwe uchiri kushushikana neregerero yako?
Kuregerera zvinoreva heri kuti hauna chigumbu pamoyo kana kuti unacho asi une rudo nomunhu wako saka uri kuzama chose asi zviri kukunetsa.  

Tarurira umwe wako ahwisise zviri pamoyo pako. Vanhu vakawanda chose vanohurira vamwe vavo havanatsi kuhwisisa IMPACT yezviito zvavo.

Munokwanisa kuti mataudzana, pamunozopedza kutaudzana iwe nyakuregerera hauchina hanya nokuda kuisana nokuti mukutaudzana wayeuchidzwa kukanganisa kweumwe wako.  Pamwe munombochemedzana. Mukuchema muya anokwanisa kuhwisisa uti akakanganisa agotangawo kuchema. Pamwe munonovata, ugopepuka pakati peusiku uchiwana iye akasvinura achifunganya.   Murima imomo munokwanisazve kutanga kutaudzana.  Pamwe kana uri munhukadzi unohwa kuda kuriritira murume wako kumutora womuvaraidza mukukanganisa kwake.

Zvese izvi zvinokwanisa kuti umwe musi unohwa moyo wako kuregerera chose, kana wada kuisana nomurume/mukadzi wako kumuratidza kuti moyo wako uri pari wana mukana wekumuti aswedere pedo newe muisane.  Kana mapedza, taudzanai kuti muri papi panyaya yenyu.

Vanhu vakawanda chose vanoita mimba panguva dzakadai. Zviri nani kuti musaita mimba nokuti kana mange musina kunatsoregererana, mimba inokwanisa kukupatsanurai futi umwe noumwe otanga kufunga zvake ega. Mwana akazozvagwa anokwanisazve kuva pakati penyu musati masvika pokuti manatsa kuhwisisana.  Zvemimba dai mambomira.


Apa tiri kuti hazvisi nyore kutanga kuisana umwe ambohura mukambomira kuisana kwenyu mumba. Pamwe menge matombosiyana kuti uyu kwake uyu kwake. 

Kana uchiziva mumoyo mako kuti uri kuda kuregerera asi uri kutadza chose kuzvipa muviri wako kune umwe wako, munokwanisa kuenda kundoyananiswa zvikuru nomunhu asiri wemhuri. Zviri nani paite vaviri mukadzi nomurume, kuti mese muwane wekuturira musengwa.

Nyaya iyi inobva kure chose chose. zvokuti kana nguva yekare yakanyogwa Bhaibheri zvaivako.  Mubhuku raMatiyo 19 : 7-11 pane nyaya yokuti, Vafundindhisi vakasvika pakuudzwa kuti makabvumidzwa kuramba vakadzi venyu kana paita chihure nengari yokuti mune misoro yakaoma hamugoni kuregerera, asi hazvina kugara zvakadai kubva pakutanga. Kureva kuti munhu achisikwa akasikwa kuti aregerere asi kuoma musoro kwakazoita kuti abvumidzwe kurambana kana mahurirana.

Saka chinhu chakaoma. Kana zvichikunetsa kutanga kuvata naye hwisisa kuti watogona chinhu chikuru chokuregerera. Chidzidza kuzvipa kwaari. Iwewo nyakuhura, bata musoro wenyaya uhwisise kudzungaidza kwawaita umwe wako.

Kana wakahuriswa noruchiva, taura ahwisise.
Kana wakahuriswa nokushaya rudo mumba, taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuda mari taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuti hausi kuguta mumba taura ahwisise
Kana wakahuriswa nokuti haumudi, taura ahwisise umuudze achienda hake.

UDZAI VAMWE !!!!!!!

Mukomana ari kuti anoda kuroora mhandara.

"Ndibatsireiwo Please. Mukomana wangu ane makore 26 in 20. Tadanana 5 months. Ari kuti anoda kuroora mhandara asi ari kungogarondiudza kuti ari kuda kuti tirare tese. Ndikarara naye zvoreva kuti handichisiri mhandara saka haachandiroori. Ndipeiwo mazano. shamwari dziri kuti ndikasarara naye anondiramba. Miriam."

(Chokutanga, nyaya iy ndeyemhandara chete chete. )

Vanhukadzi tine dambudziko rokuti tinokura tichidzidziswa kuti varume ndivo vatungamiri muupenyu hwevanhu. tinozoona kuti varume vane unhu vashomanene tatokanganisigwa upenyu hwedu nokuda kwekuvimba munhu anohi munhurume. Vanhu ivava havana unhu uye chinhu chavanogona kupfuura zvese kureva nhema. Anokuudza nhema dzausingambofungiri kuti munhu angareva nhema dzakadaro kuri kungoda kukukanganisira upenyu hwako. Munhu anohi munhurume  unokwanisa kugara naye makore akawanda usingatombozivi kuti imhondi, uye kuti anogarobata zvanana chibharo kana kuti anopaza dzimba dzavanhu achiba. Ingari yokuti vanhu vanogona chose kureva nhema. chero ukamubvunza muri mese kudai anokasira kufunga nhema agokutsanangurira ngano yenhema iwe kana kumboziva kuti munhu angafunga zvese izvi nokukasira kudai dziri nhema. Dzimwe dzenhema dzaunoudzwa nemukomana ndeidzi:

Ndiwe wega wandinoda. Hakuna umwe.
Ukaita mimba ndinokuroora. Ukasaita mimba ndokuroora futi
Ndaswera ndichingokufunga nhasi.

Iwe chiterera izvozvo kana uri munhu asina kuchenjera. Kana wakachenjera, tarisa zviito zvake ugozoterera zvaanotaura. Kana zvichienderana chitanga kufunga kuti PAMWE ari kurevesa. Zviito ndizvo zvinotaura kupfuura muromo.  Ukaona munhu achiita sokuti anofanira kuchengegwa, ziva wega kuti haakudi uye haana hanya newe kana musiri mese.  Murume anokuda anongoziva ega kuti ane musikana. Haachaiti zvevamwe vasikana. Hapana chikonzero chokumuchengera.

Kana madanana nguva yakati rebei, sokuti mwedzi mitatu, unoona munhu otanga kuti paya mukabatana batana, akangoziva kuti waita zemo, oda zvokukubvisa bhurugwa kuti aenderere mberi. Hwisisa musoro wenyaya. Hwisisa kuti iwewo unenge uchitoda kumubvisa bhurugwa, pamwe kupfuura zvaanoda iye. Asi nyaya iri apa pokuti iwe ndiwe unobata mimba kana mukaisana. iwe ndiwe unobva humhandara kana mukaisana. Iwe ndiwe uchanotanga kutaurira mhuri yako kuti waita mimba. Iye anongoti Ziii kuita sokuti hapana chaanoziva, okusiira nyaya yese. Chero ukazotizira, anokurambira pachena agokuudza mashoko akaoma aucharngarira upenyu hwako hwese.

Anoudza vanhu kuti waihura, agouya kudare neshamwari yake inoudza dare kuti wakambovata nayo. Ipapo achingoda kukuramba chete asi une mwana wake mudumbu. Unomuona achitoenda kuChurch vhiki imwe neimwe achiverenga Bhaibheri rake rinogara mumba make asi haana hanya nezvarinoreva. Anoreva nhema, Agokurudzira vamwe kureva nhema, agopikisana nevanhu vepadare kuti pamakavata mese haana kupinza yese uye haana kutunda. Maingotamba. Iwe kutoti bodo ndakabuda ropa ndikagwadziwa chose. Iye anoti hameno wawaiva naye.

Hino hezvino zvaaita vakuru vedu kare. Musikana aitanga apiwa chimwe chinhu nomukomana wake sokuti hembhe yomukomana inizikamwa kuti ndeyake nevanhu vemuraini. Kana mukomana akangovata naye, otora hembhe iya ondopa tete ovaudza kuti ndaisana nemukomana saka ndikaita mimba ndeyake. Chibatai hembhe yake. Vatete vaipopota chose kuti wazviitirei asi vaiva nechokubata kana mwana wavo akaita mimba.

Hino mazuvano zvava zve WHATSAPP. Unongoudzwa pa WHATSAPP kuti kwira bhazi uuye kumba kwangu tizotandara, vabereki vaenda kumusha. Wasvika, wobikiswa, modya, woudzwa nhema. Kunozosviba wazara urume mukati, wafadzwa nenhema dzawaudzwa. Ipapo Sabhuku wenyu haagoni kuverenga WHATSAPP, tete hauna kuvaudza, Mai vako vakarambwa nababa kare , una mainini vasingakudi zvachose. Baba vako havana basa newe, vakangomirira roora chete.

Musi waunongoudza mukomana kuti une mimba ndiwo musi wamunoparadzana. Wotoblokiwa pafoni yake zvatopera.

Kudavira mubvunzo wako ngatibvumirane kuti chinhu chakanaka kuti mukomana wako akubudira pachena kuti anoda mhandara. mhomho zhinji yevakomana vanoda mhandara. Asi ndivo vakomana vacho vari kufamba vachibvisa vasikana humhandara kuti mhandara dziite shoma.

Saka iwe tsananguira mukomana wako kuti zvese zvaanoda unazvo uye sokufunga kwako uchava nazvo kusvika maroorana. Kana ane zemo zvokuti haakwanisi kumirira, chirooranani izvozvi kwete kumirira. Kana ukabvuma kuvata naye hauzivi kuti chii chichaitika. Kana asingadi kuroorana izvozvi, uye asingadi kumirira kuzoisana maroorana, chihwisisa kuti haakudi, umusiye akadaro undotsvaka anokuda.

Kuisana hakumbonetsi kana uye hakutori nguva. 5 Minutes chaidzi unenge watova umwewo munhu, uku uri kubuda ropa, uku wapiwa urume, uku zemo racho hauchina asi hana kana kumbonakigwa. Musi wekutanga hazvinakiri vakawanda. Unenge uri kutoshaya kuti ko ndazviitirei. Uku mukomana atova kufunga kuti uri hure. Iwe kuti umurambe wava kutotya kuti auchazowana achazokuti hure upenyu hwako hwese.

Saka nyaya yako ngaisasvika kwese uko asi garoudza mukomana wako kuti unoda chose kuti mutange kuisana chero zuva nezuva chero katatu pazuva. Kungoti unodazve kuti mutange maroorana.

Nyaya dzavako mazuvano dzokuti vasikana vava kuitavo zvokureva nhema uye kuvata nevakomana vakawanda hadzikubatsi chinhu kana mukomana wako asingadi munhu asiri mhandara. Kana iwe uchimuda, ndiwe unofanira kuita Manager werudo gwenyu. Asi gara uchiongorora kuti anokuda zvechokwadi here kana kuti ari kutamba newe.

Mazuvano vasikana vava kutanga kuiswa vane makore kana 15 chaiwo. Asi usafunga kuti mhandara dzine makore anopfuura 25 hadziko. Dzakatowanda saka kana ukasachenjera hapana chako. Hakuna umwe munhu achakuchengetera upenyu hwako. uwe wega ndiwe unofanira kuhwisisa zvauri kuita.

Kuruzhinji gwevasikana vamazuvano mubvunzo uyu wepano haushandi nokuti vakatovata nevakomana vavo kare makore avo asina kutombosvika makumi maviri. Vamwe vatova ne HISTORY yokuvata nevakomana vakawanda uye nevarume vevanhu. Kana zvadaro hauchina hanya nokuti anokuroora munhu akaita sei. Wava kungofunga zvoti auchaitira mimba ndeupi kuti umufose kukuroora.  Pano tiri kutaura ne vachiri mhandara.

Varume vanoremekedza munhu anohwisisa paakamira. Kana ukamuudza kuti uri kuda kumirira kusvika zviito zvenyu zvava pamutemo. Mukomana anoremekedza izvozvo. Asi uchaona kuti kana agara asina hanya newe, anotsvaka kunovata nevamwe vasikana asi achizoda kuroora iwe. Ukamubata achida zvokuvata nevamwe, hwisisa kuti ndiwo maitire ake chero mukazoroorana usafunga kuti anochinja. Ndizvo zvaari izvozvo zvokukuhurira. Zvigwere uchaita mumba mako iwe usina kana musi umwe wawahurira murume. Iye ndiye achakupa zvigwere zvaabva nazvo kusango uko.

Kana ukaona kuti anokwanisa kumirirawo sezvawasarudza kuita, mukazoroorana anokwanisa kuchengetedza unhu hwake. Ndizvo tichikurudzira vasikana kuti usamirira kusarudzwa noumwe munhu. Iwewo sarudza munhu akakukodzera. Kana uchihura, danana neanohura. Kana usingahuri, danana neasingahuri.

Chimwe chinokanganisa kufunga kwedu ndechokuti ukaona chombo chomurume chati twiii wobva wafunga kuti runako gwako ndigo gwaitisa murume zemo saka wofunga kuti ibasa rako kubvisa zemo rake. Kufunga kwakadai ndiko hako asi kana usiri mukadzi wake, harisi basa rako kumubvisa zemo. Chombo chake kumira ndiya aita fungwa dzoruchiva. Siya azvionere maperere achaita zemo rake. Anoziva zvokuita zvaanoita kana iwe usipo.

Apa tiri kuti udza mukomana wako kuti kana ane zvaari kuda kuita nomuviri wako zvreva kuti ava munhu abve zera saka ngaachinotanga zvokuroora agozoita sharaude newe.

Udzai vamwe!!!

Monday, 23 July 2018

Kubata mimba uchimwisa mwana

"Mukadzi akabata pamuviri achiyamwisa mwana anopihwei kana kuti ungamurape sei?"


Kana ukabvunza vanhu vava vachembere kumusha mubvunzo uyu. vanotovhunduka nokuti kare vaifunga kuti pane chakaipa chinoitika kana mai vemwana vakabata mimba vachiri kumwisa mwana. Kunonzi kumwisira. Unohwa vachitaura vachiti.

"Mai Natsai vakamwisira mwana akarwara akaendeswa kuchipatara." 
Mufungwa dzavo vanenge vachitotira chokwadi asi ingari yokuti havahwisisi kuti kugwara kwemwana nokumwa kwake mukaka hazvina pazvinoenderana. Unokwanisa umwisa mwana mukaka une mimba kusvika wazvara rusvava, ugomwisa vese vari vaviri kana une mukaka wakakwana. 

Chinhu chimwe chete chakaipa pakumwisa vana vaviri ndechokuti paunozvara mwana mukaka wekutanga mukaka wakakosha pamwana paanozvagwa nokuti une zvinodzivirira zvigwere uye unozvokudya zvakakoshera rusvava. Saka zvoreva kuti kana ukaramba uchimwisa mwana mukuru unokwanisa kuramba uchigadzira mukaka wemwana mukuru pane kutangazve werusvava. Chete chete ndicho chinhu chingaita dambudziko asi hazvinei nokugwara kwako iwe kana kuti kwemwana.

Zvigwere zvinokonzegwa neutachiona kana kuti ne POIZENI. Mukaka unorapa zvigwere uye unodzivirira kushanda kwepoizeni, saka hapana chakaipa pakuti mwana wako mukuru kana mudiki amwe mukaka.

Saka apa ndiri kuti pamumbunzo uyu hwisisa kuti hapana chinodiwa mushonga. Hapana chigwere. Hapana utachiona. Hapana poizeni. Hapana chakaipa kuna mai vemwana, kumwana ari mudumbu kana kuti kumwana ari kumwiswa mukaka. Vese vari vatatu vanokwanisa kuramba vakadaro kusvika uyu ari mudumba azvagwa uyu umwe achingomwa mukaka.

Asi Pakurera vana hazvishandi kumwana mukuru kuti uzozama kumurumura wava kutomwisa umwe mwana. Zvisinei kuti wabata mimba papi, Ngatihwisise kuti unokwanisa kubata mima kwapera vhiki mbiri wazvara mwana, kana usingaterera varapi vanokuudza kuti mirai kuisana kusvika muviri wadzokera pawange uri usina mimba. Zvinotora vhiki nhanhatu (6 weeks). Kotizve kumwisa mwana kunoderedza mukana wekubata mimba nokuda kwekuti ma HORMONES anogadzira mukaka anoderedza maHORMONE anokandirisa mazai. Zvoreva kuti kana uchimwisa unonoka kubata mimba.

Asi dai waibata mimba nokukasira sokuti mwedzi mitatu, unokwanisa kuramba uchimwisa mwana kusvika wasvika pamwedzi mutanhatu uchimwisa, sezvinokurudzigwa kuti mwisa vana mwedzi mitanhatu kana kupfuura. Iwe nemimba yako ukasvika iyoyo mitahatu chirumura hako uchironga yokugadzirira uyu mwana mutsva.

Asi zvoreva kuti wamwisira kwemedzi mitatu. Hapana kana chakaipa chingaitika kumwana kana kuti kwauri iwe. Dzikamisa hana uite mabasa ako emumba uye kuhwisisa kuti kuvata nomurume wako hapachakaipa chinoitika chichiti chaitiswa nokuti wamwisa mwana. Kune vanhukadzi munyika dzakawandisa vanomwisira, pamwe vachiziva, pamwe vasingazivi kuti vanemimba. Hauna kumbohwa munhu akaenda kuchipatara akati auya nokuti amwisira, kana mwana akenda kuchipatara akahi amwisigwa. Hakuna zvakadaro zvinoitika.

Usazvityira
Usatyira mwana
Usatyira Murume/mukadzi wako.

Hana chakaipa chinoitika.

Udzai vamwe!! 


Sunday, 22 July 2018

Chii chinohi rudo-2?

Ndingaziva sei kuti murume/mukadzi wangu anondida?
Rudo chinhu chinonetsa kutsanangura. Ukabvunza vabereki vako kuti chii chinonzi ruro kana kuti ndinoziva sei kuti ndawana munhu wekuroorana naye anondida/ndinoda, unohwa vachingoti

“Kana wamuwana wega unongoziva kuti ndeye munhu waunofanira kuroorana naye”

Havatsananguri kuti unoziva sei nokuti zvinonetsa kutsanangura rudo. Asi chokwadi ndechokuti kana wawana munhu anokuda unokwanisa chose kuziva kuti anokuda. Iwewo ukada munhu unoziva kuti unomuda chose. Kuti mese muzoziva kuti munodanana, zvinonetsa nokuda kwekuti hazvitsananguriki. Hazviiti kuti mudanane zvakafanana. Pavanhu vanodanana umwe anoda kupfuura umwe. Asi hazvina kuipa. Chikuru ndechokuti mese muzive kuti munodiwa. Kuziva kuti umwe wako anokuda zvinofadza moyo.

Varume havana rudo gwakawanda sevakadzi asi kune vamwe vane rudo chose chose zvokusvika pakusarudza rufu pane kugara upenyu husina munhu waanoda.  Kana munhu ada umwe munhu, haakwanisa kutsanangura chikonzero chacho nokuti kazhinji hapana chikonzero anongohwa achimuda. Iwewo kana wadiwa noumwe munhu unokwanisa kusahwisisa kuti sei achindida. Chero ukamubvunza kuti iwe sei uchindida, haakwanisi kutsanangura zvinogutsa fungwa, asi kungotsikatsika. 

Asi ngatihwisise kuti rudo gunotangira mufungwa yaiye nyakuda wacho zvabva pakuyemura munhu waanoda. Kanauya munhu waanoda akakasira kutaridza kuti zvechokwadi haana hanya nokudiwa nouyu munhu, uya nyakuda anomboita hake kanguva achimuda asi zvinozopera. Kana nyakudiwa akataridzawo kuti anomuda, zvinokwanisa kukanganisa fungwa dzanyakuda zvokuti tinoona kuti kufunga zvine musoro kunozonetsa.

Ndizvo tichikurudzira kuti kana usingadi munhu zvechokwadi, usatambisa nguva yake noupenyu hwake.
Saka pano toda kuzama kutsanangura kuti rudo chii uye rudo gunoitei nefungwa dzako kana une rudo mumoyo/fungwa nomuviri wako. Izvi ndezvimwe zvezvaunongohwa uchida kuita kana une rudo.
1.      ___________________________________________________________________________________________
Kuhwa uchida kuvanomunhu waunoda nguva dzese
Kuhwa uchida kushamwaridzana naye
Kuhwa uchida kumuitira zvakanaka nguva dzese zvisinei kuti iye ari kuitei  kwauri
Kuhwa moyo wako uchifara chose kana wamuona kana kumufunga
Kushaya hope kana watanga kumufunga iye asipo
Kuhwa uchida kumuriritira
Kuhwa uchingoda kumuitira nyasha
Kumufungira zvakanaka chete chete
Kuda kuzvipa kwaari kupa muviri wako kwaari
Kuda kumubatsira zvisinei kuti hapana chaari kuita chinoda rubatsiro
Kuda kumumbundikira nguva dzese kuti ave pedo pedo newe.
Kuhwa fungwa ichiti dai ari pano neni, kana asipo.
Kumushuva nguva dzese aripo kana asipo zvese
Kufadzwa nezvaanokuudza nguva dzese uye nokuhwa achitaura zvisinei kuti ari kuti kudii
Kuhwa kuda kuvata naye zvokuti kumufunga chete kunokuitisa zemo.
Kuda kumuudza zvinhu zvese zviri kuitika muupenyu hwako nemafungire ako
Kumurota nguva zhinji uri kuhope uchirota hope dzakanaka unaye
Kurota muchiisana zvisinei kuti uri mhandara/jaya
Kugarofunga upenyu naye mava nevana venyu nomusha wenyu fungwa ichikuudza kuti muchachembera muri mese
Kuona sokuti ndiye munhu akanaka kupfuura vese kana uchimuona kana kumufunga.
Kuhwa kugumbuka pamoyo kana hama neshamwari vachikutsiura pamusoro pemunhu waunoda. Kuona sokuti vanokuudza nhema kana kuti vanotsvaka kukukanganisira upenyu.
Kuzama kumufadza zvokuti akakuudza chokuita unoita zvisinei kuti unoziva kuti chiito chakaipa, kana kuti chisina njere.
Kuda kuti akude sezvaunomuita iwe.
Kuhwa munhu waunoda achikukwezva kuti uve naye chete zvisinei kuti ari kure zvakadii. 
Kusada kubvuma kuti anokwanisa kusakuda kana kuti anoda umwe munhu iwe uripo
Kusava nehanya noupenyu hwako kana asipo, kuona sokuti zviri nani kufa pane kumushaya muupenyu. 
____________________________________________________________

Apo pokurotana, zvinoita sokuti vaume vanorota zvakasiyana nesu. kunohi murume kana achikurota ari kuhope, anongorota zvokuchiva muviri wako nokukubata muviri wobva atokurhoja, wofadzwa nazvo, obva atopepuka. 

Munhukadzi anorota zvakawanda zvichiitika nguva refu sokuti kufamba nemukomana wake pagwizi panoerera mvura pachinhuhwirira maruva vakabatana maoko, Kozoti kupinda musango mowana panoyevedza pokugara muchiita nyaya muchitarisana mumaziso, muchikisana muchipurudzirana, mukomana ozokubvisa zvipfeko wokupurudzira muviri achikuudza nyaya dzinofadza. Wozobva akupatsanisa makumbo okupinza chombo moita nguva refu muchiisana. Wotozoona wava nemwana wake muchienda kana kuSUPERMARKET. Unokwanisa kutrota kana makore matatu muchiroto chimwe chete. 

Kurota uku kunotaridza mafungire evarume nevakadzi kusiyana kwavo nemaonere avo nyaya dzokudanana. Zvinoreva kuti kudanana kwavo kwakatosiyana zvachose. Varume vanongoda kuisana vakadzi vanoda inohi pachirungu ROMANCE. 
_________________________________________________________________________


Saka izvi zvinoreva kuti kana uchida kuhwisisa kuti mukomana/musikana wako anokuda here, unotarisa kuda kwaunomuita iwe wozvibvunza kuti anokuda zvakafanana here. Mubvunzo uyu unonetsa nokuti iwe ipapo unomuda zvokuti chero akakuudza nhema dzaunoona kuti shuwa inhema, kuti anokuda, unoona sokuti ari kukuudza chokwadi.

Rudo nokupenga hazvina kunyanyosiyana, saka kana ukahwa uchida munhu zvakadzika chose, hwisisa kuti wava kutopenga Unohwa vamwe vachiti “Nhingi anopengesana na nhingi” nokuti vanoona zviito zvenyu kuti ndezverudo saka hazvikwanisiki kutsanangugwa nevamwe vanhu. Imi chete ndimi munozvihwhisisa pauviri hwenyu.

Rudo kazhinji gunokubata gokusungagokuisa muchitokisi mausingakwanisi kubuda asi futi unenge usingadi kubuda . Asi napo napo fungwa inoneta nokuda munhu. Rudo gwakadzika gunoita makore maviri uchipenga, asi unozongoona watanga kubuda mukupenga muya wotanga rudo gwakati siyanei.

Unokura murudo nomunhu, wotanga kufunga zvine musoro zvakaita sokuvaka musha. Unotanga kuterera zvaanotaura nokubvunza kuti zvinorevei nokuda kunatsa kuzvihwisisa. Unotanga kubvunza vamwe kuti chii chiri kuitika. Unobvunza kuti vanofunga kuti anokuda here nomoyo wese. Kana hama neshamwari vakakutsiura pane zviri kuitika unokwanisa kuterera.

Unotanga kuhwisisa zvaunoda zvisiri pamunhu waunoda uye kufunga kuti kana ndikavaka musha naye zvandinoda kuti ange ari zvaasiri ndichazviwana sei. Unotanga kuzama kusakoshesa zvaasiri  uchigadzirira kusazviwana paari. Sokuti kana ari munhu anomwa doro iwe usingadi kumwiwa kwedoro, unotanga kuzvitsvakira mukana wekugamuchira kumwiwa kwedoro.

Rudo pakutanga gunokukanganisa musoro asi nenguva unotanga kufunga zvakanaka rudo gwekupenga goderera. Kana muchidanana mese munoramba henyu muchidanana asi zvenge zvava zvevanhu vakura. Unohwisisa kuti vanodanana vanokwanisa kupokana asi vachizoyanana futi. Vanodanana vanokwanisa paradzana dzimwe nguva, vachizosangana futi. Vanodanana vanokwanisa kumbofunga nezvimwe zvisinei nokudanana, zvinoita upenyu huende mberi, sokuti kudzidza mabhuku nokupasa vhunzo kuti vawane mabasa.

Unohwisisa kuti rudo handi kungogara muchifunga zvokuisana chete, zvisinei kuti kuisana kunonaka chose uye unoda kuisana nomudikamwi wako. Munopa nguva kune zvimwe zvinovaka upenyu.
Rudo muupenyu nomunhu waunoda gunokwanisa kuti dzimwe nguva unohwa kupengeswa naye, dzimwe nguva FOCUS yenyu iri pane zvimwe asi fungwa dzenyu dzinoziva kuti munodanana nguva dzese.  

Zvinoita here kuto wamboda munhu wozosamuda?
Zvinoita nokuti kuda munhu kunoitika nokuti iwe unozvisarudzira kumuda. Sakai we unokwanisazve kuzvisarudzira kusamuda. Kune vanhu NHUNZVATUNZVA vanongoti pano ada pana asiya zvokuti muupenyu anokwanisa kudanana nevanhu vakawanda.
Kana wasangana nomunhu, usati wanatsa kumuda, tanga watarisa HISTORY yake kuti akamira sei. Kana akambodanana nevakawanda sokuti vanopfuura vatatu, hwisisa kuti anokwanisa kukusiya pasina nguva refu.
Ngatihwisisezve kuti hazviiti kuti vanhu vaviri vadanane zvakafanana. Umwe anoda kupfuura umwe.  Kana kune munhu waunoda iyewo achikuda, hwisisa kuti ibasa rako kuona kuti MENTAL HEALTH yake yakamisa papi. Kune vakawanda chose vanozviuraya nokuda kweti vanoona sokuti munhu waanodanana naye haana hanya naye.  Kana uchimuda ita zvorudo naye. Kana usingamudi, kasira kumuudza kuti zviri nani musiyane. Usatambisa nguva yomunhu.

Kana uchitsvaka wekudanana naye usangoda kudanana nomunhu zve DESPERATION. Tsvaka zvakanaka wakagadzikana hana. Aripo munhu akamirira kusangana newe kuti mudanane. Kungoti mese muri vaviri hamisati masanganga. Ramba uchitsvaka

Udzai Vamwe!!!!!!

Wednesday, 4 July 2018

Mibvunzo nemhinduro 17

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 16 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 17. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 16, 15, 14, 13, 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO kana kungobaya ipo pano
Ndatenda



Mubvunzo

Mhinduro

Kana murume ane mukadzi akandinyenga ini ndikabvuma iye ane mari, ini boyfriend handina. Kurorwa naye handidi. Chakaipa chii? Maiwee! hino ukaita tsika yokunyengwa nevarume uchiti nokuti vane mari, usina hanya nokuwanikwa, Uchazorega kunyengwa pane zvemari riini uye zvadii? Nyaya yauri kutaura handi yokunyengwa asi yokupiwa mari kuti uite zvinodiwa nevaridzi vemari. Kunyengwa kunoitika kana wasangana nemukomana kana murume anotsvaka musikana wekuroora.

Iwe zvibvunze kuti murume ane mari ane mukadzi asi anokunyenga, ingari yei? Ko anonyenga vamwe vasikana here? Anovadii? Ko iwe wadii kungozvishandirawo uwane mari yako pane kumirira yekupiwa nevarume vevanhu? 
Tete, mukadzi ane mazamu makuru anonaka kupfura ane madiki here pabonde? Kunaka kwemunhu kuri mufungwa yemunhu anonakigwa naye. Hakunei nokuti munhu wacho anonaka akaita sei.
Kune varume vakawandisa vanoti mukadzi akashata kutarisa ndiye anonaka,
vamwe voti mukobvu ndiye anonaka,
vamwe voti mutete ndiye anonaka,
vamwe voti mupfupi ndiye anonaka,
vamwe voti murefu ndiye anonaka,
vamwe voti ane muromo mukuru ndiye anonaka
vamwe voti mutsvuku ndiye anonaka,
vamwe voti akasviba kuti zvii ndiye anonaka,
vamwe voti ane chuma muchiuno ndiye anonaka,
vamwe voti ane magaro makuru ndiye anonaka,
iwe wouyawo woti ane mazamu makuru ndiye anonaka.

Saka anonaka chaiye ndeupi? Iwe kana fungwa yako ichiti ane mazamu makuru ndiye anonaka, chitsvaka ane mazamu makuru.

Mushonga wekukudza nhengo yemurume unowanika kupi?Hakuna kwaunouwana nokuti hakuna mushonga wakadaro. Kana wamuwana kasira kundiudza ndigokuwanisa mari inopfuura 2 billion USD. Kune varume vakawandisa vanofunga kuti kukura kwechombo ndiko kunonakira vanhukadzi. Kusahwisisa mashandire anoita muviri wemunhukadzi.

Nyika dzese dzine vanhurume dziri kutsvaka mushonga wauri kutsvaka uyu asi hakuna anomuwana iwe uchiri mupenyu. Zvinofadza vanhukadzi vakanda kuti hakuna mushonga wakadai. dai uripo vamwe vedu vaitozotanda kuvata nevarume vavo nengari yemazichombo anenge matanda.

Siyana nokufunga zvisina maturo. Chinonakira mukadzi chinoti,
1 Rudo kubva kumurume,
2 Kutora nguva uchirezva mukadzi kusvika anyorova,
3 Kutora nguva uri mukati memukadzi wako
4 Kurezva mukadzi mapedza kuisana kwete kutendeuka wobatwa nehope.

Kana munhu akarara nevakomana vaviri akabata nhumbu, ichokwadi here kuti nhumbu ndeye wekutanga wacho?Une makore manganiko iwe. Shuwa mukore uno ungavata nevarume vaviri pasina hapo kana kondhomu here? Zvaita sei? Wakatemegwa nyora yekuiswa here? wandigumbura chose.

Mimba inobata zvichibva kuti nguva yako yokumwedzi iri papi, uye murume wawavata naye ane mhodzi dzakawanda sei dzine utano (healthy SPERM) muurume hwake (SEMEN)  Zvinokwanisika kuti wawatanga kuvata naye anokupa mimba, zvokwanisikazve kuti wawapedzisira kuvata naye anokupa mimba.

Kana ikavata navo sese pavhiki imwe chete, hazvigoni kuti uzive kuti mimba ndeyaupi.  Zvotoda mwana azvagwa moenda naye kuDNA TEST nevarume vese. Asi chokutanga kasira kundotesitwa HIV nezvimwe zvigwere zvechihure. Usarega mimba ichikura usingazivi zvigwere zvaunazvo kana unazvo. Pamwe hauna chigwere.

hwisisazve kuti kana une mimba inguva yaunofanira kugaroiswa nomurume kuti kuzvara kukuitire nyore. Zvikuru mimba yokutanga. Kugaroiswa kunorapa zvigwere zvakati wandei. Uye kunoderedza DEPRESSION inobatwa nevakadzi kana vazvara.

Ndingaita sei kuti murume wangu anakirwe pabonde?Murume umwe noumwe ane zvaanofarira pakuisana kwenyu. mukadzi umwe noumwe ane zvaanofarirawo. iwe pane zvaunofarirazvisinei nokuisana kwevamwe vakadzi nevarume vavo.

Kuti uhwisise zvinonakira murume wako bvunza murume wako kuti chii chaanoda kuti umgare uchiita chinomunakira. Gara uchibvunza nguva nenguva kuti akuudze zvaanoda. Iwewo muudze zvaunoda mese munakigwe nokuisana kwenyu.

Asi hwisisa kuti kana waziva zvaanoda chiona kuti unogarozviita. Kana akakuudza chaanoda iwe usingachidi, chitodzidzira kuchiita nokuti ndizvi zvinoda murume wako. Hakuna umwe murume wauchawana futi iyeyu ndiye wako. Unokwanisa hako kunoita hure reumwe murume asi uyu ndiye wako.

Vanhukadzi vakawanda kana akaita chikomba anoitira chikomba zvese zvese asi murume wemumba anonyimwa zvaanoda. Uku kusahwisisa zvachose chose. fadza murume mumba iye akufadzewo.

Is it normal kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi umwe chete? Zvinokwanisika chose kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi, kudarikira mwedzi, kumira zvachose kuenda kumwedzi iwe usina mimba, Zvinoitiswa nokusakwana kana kuwandisa kwema HORMONE maviri anohi ESTROGEN ne PROGESTRONE. 

Usavhunduswa nazvo asi enda kwamurapi undovaudza kuti ndiyo nyaya yako, vanokwanisa kuzvigadzirisa. 
Ndibatsireiwo pakufunga nokuita. Ndakaroorwa muna May 2017 ndokubva tabvumirana kumbomira kuita mhuri. Ndakashandisa mapiritsi. Muna April tikabvumirana kutanga mhuri. Kubva ipapo murume tikarara tese anotundira panze. Haadi kunditundira mukati. N doita sei? Nyaya iyi inonetsa kunatsa kuhwisisa nokuti uri kuti munobvumirana pakutaura. Zvoita sokuti murume ari kungobvumirana newe asi iye asingadi mwana. Zvobva nokuti iwe chiri kukunetsa pamoyo chii, inyaya yokuti unoda kuita mimba here kana kuti haufariri kuti murime anoteurira pazhe.

Kana iri nyaya yemimba, hwisisa kuti kuteurira pazhe kwake hakudziviriri mimba nokuti paanozofunga kubuda muchitubu mako, madomhwe eurume anenga atombobudiramo saka unokwanisa kungobata mimba zvakadaro. Kuteurira pazhe hazvinyanyi kubatsira panyaya yemimba.

Vanhukadzi vakawanda vanofarira kupiwa urume mukati saka kana zvichikusembura kuti murume wako aorasira pazhe, unofanira kutaura naye kuti asazviita. Kana ukahwisisa kuti inyaya yokuti haadi mwana, dzokera pamapiritsi kusvika iye ega azoti chirega tigadzire mwana. 
Ko mushonga unowedzera ropa unowanikwa kupi? Mushonga weropa imvura. Imwa mvura yakawanda, zvikuru uchangomuka makuseni, womwa mvura . Womwazve imwe kwapera nguva inoita awa uati wawana zvokudya. Unozodya kwapera kanguva wambomwa mvura kaviri kana katatu.  Wodaro zuva nezuva wosweromwa futi mvura zuva rese.

Uchaona ganda rako kuwedzera kutsetseka. utano hwako kuwedzera, uye kana uri murume uchahwa mukadzi wako okuudza kuti mazuva uri kumupa urume hwakawanda zvikuti anonyorovesa mubhedha nokuvhinza avete.
Kana uri munhukadzi zemo rinowedzera uye unowedzera kudziya muviri. Pakutsetseka ganda murume wako anowedzera kufarira kuvata newe. 
9Pakusv**ana, chombo chomurume chinopinda chese here kana kuti chidimbi chete? Ndiri kuchata muna August saka ndiri kutya kusv**wa asi hapana mukana wekusaita.Chombo chomurume chine saizi unobva pa 12 cm kusvika pa 20cm kureba zvichibva nokuti ndiani murume wako. Kukora kana tichitarisa sokusunga bhandhe chinoita 10m kushika pa 14 cm

Munhukadzi kana asina zemo akadzika 8cm kusvika pa 10 cm Kana ava nezemo anotatamuka zvokukwanisa kupinzwa chombo chikuru chikobvu pasina kana chinotyisa. Ingohwisisa kuti unofanira kutanga wanyorova zvokunatsa kunyorova. Zvadaro musi wekutanga vata nemanhede wovhura makumbo murume oenda pakati pemakumbo wopinza chombo. Pamwe hafu yacho ndiyo chete inopinda. Kuti chombo chese chipinde unenga watosimudzira chiuno.

Kureb kwechombo hakuna chinotyisa. Chinokwana mukati chete. Kukora ndiko kwaunohwa kunakigwa nako nokuti kunokutatamura mukova. Zvinonaka kupfuura kugofiwa nokureba kwechombo.

Kana uri mhandara uchahwa paanotanga kupinza unobvaruka chivharo zvoita sewabaiwa netsoni asi kanguva kadikidiki zvatopera watova kubatirira murume motoisana nyaya yatopera. Kubva ipapo watori mukadzi wemunhu. Mazuva ekutanga hazvinyanyi kunaka asi unenga uchifarira chose kuiswa. Asi zvichawedzera kunaka kana wajairira. Uye dzidza kurerusa muviri pakuiswa kuti zviwedzere kunaka.

Asi iwe wega tanga wahwisisa kuti murume wako anofanira kukupinza chombo papi pacho. Kune vakadzi vakawanda vasingamvizvitarisi zasi. Tora MIRROR uise pasi ugotonona wakatanyanga MIRROW ugozvivhura matinji uchiona pachazopinda nechombo. 
10Kufunuka kumeso kurapwa nei? Zvinobva nokuti chikonzero chekufunuka ganda ndechipi. Kune zvinhu zvitatu zvingakonzera zvinoti

1 Kana uri munyika inopisa chose ukafambafamba usina kupfeka ngowani unokwanisa kufunuka ganda kwapera mazuva maviri.

2 Kana une chigwere che Eczema kana Dermatitis unokwanisa kufunuka ganda

3 Kana ukashandisa CREAM isingawirirani neganda rako unokwanisa kufunuka ganda.

Kana zvichigaroitika enda undoongorogwa upiwa mushonga
  
11Pane chinoratidza here kuti mukadzi ane Makongo marefuChokutanga hwsisa kuti uri kubvunzei. Hapana nokuti hakuna mukadzi ane makongo. Munhukadzi umwe chete anoita gongo rimwe chete ratinoti BHINZI, KABHINZI, CLITORIS.

Saizi yebhinzi inobva pakadikidiki 5mm kusvika pahombe 2cm. Uye bhinzi inogara yakafukidzwa nekakaita kaJACKET kanohi CLITORAL HOOD. Asi kana mukadzi ava nezemo bhinzi inomira sezvinongoita chombo chomurume yokura asi hapana kwainokurira inongoita kana 3 cm.

Matinji ndiwo angahi marefu.

Kana usingahwisisi mamirire akaita munhukadzi verenga apa

Kuziva mamirire akata mukadzi
12Murume anoziva or kuwona sei kuti mukadzi anga agarisa asina bonde after or during sex?
Kana munhukadzi akaita nguva refu asina kuiswa pane zvinoitika muutano hwake zvinozikamwa zvinoti:

1.      Madziro echitubu chake anodhambha zvokutadza kushinya chombo paanozotangazve kuiswa.
2.      Zvigwere zvpamberi zvinohi UTI (Urinary tract Infection) Zvinoita zvishoma
3.      Kushungurudzika nokusuruwara (DEPRESSION) kunowedzera
4.      Njere dzinoita shoma pazvinhu zvinoda kushandisa njere.
5.       Kuita Zemo kunoita kushoma.
6.      Paanozotanga kuiswa, anononoka kunyorova kana kutadza kunyorova zvachose zvichibva nezera rake.
7.      Panguva yokuenda kumwedzi anowedzera kugwadziwa.

Tichitarisa zvese izvi tinoona kuti zvinonetsa kuti umwe munhu akwanise kuona kuti pane chiripo panguva yokuisana. Hapana chingahi ukaona ichi zvoreva kuti anga agarisa asina kuvata nomurume kana kuti akavata nomurume mazuva maviri aphuura kana kuti vhiki yakapera kana kuti madeko.


Kana ukavata nomukadzi wako sokuti maheru, mangwana kuseni hapana chingaonekwa paari chinoratidza kuti makavata mese. Kana akaenda kuchipatara vanokwanisa kuwana urume mukati make asi vanotoita zvokumuvhura chitubu vonatsa kutarisa. Urume hunogara mukati memukadzi mazuva mana huchikwanisa kumuitisa mimba asi hazvionekwi noumwe murume anoisana naye pamazuva mana iwayo. Hapana chaanoona. 

13Kubviswa chibereko ne chirungu kunonzi chiyi pamunhu kadzi? Kubviswa chibereko (UTERUS kana kuti  WOMB) kunohi HYSTERECTOMY pachirungu. Kana wabviswa chibereko zvoreva kuti hauchakwanisi kuita mimba asi pakuisana hakuna siyano pamuri mese murume nomukadzi.

Zviri nani kuti paunonobviswa unoudza varapi kuti vasabvisa zvikandiro zvako ( OVARIES) nokuti zvine mabasa pama HORMONES.

Kupora kunoita nguva inopfuura mwedzi nehafu kureva kuti menge musingavati mese panguva iyi kusvika wanatsopora. 
14Kudyiswa wakarara kunoitwa sei? kana umwe wako achifunga nyaya yokukudyisa zvoreva kuti iwe pane chausiri kuita pakudanana kwenyu chiri kumushungurudza. Vese varume nevakadzi vanotsvaka kudyisa vamwe vavo.

Asi chokwadi ndechokuti mishonga yese inoshandiswa pakudyisana hapana chainoshanda. Dzinongori shungu dzokuti dai munhu uyu andidawo sezvandinomuda ini. Kana ukaziva kuti wakadyiswa usaita hanya nazvo nokuti hazvishandi chinhu, asi hwisisa kuti anokuda chose. 
15Ndinoda kudzidziswa kukoira? Unoda kudzidziswa naniko? Ko kungopurakitiza pamurume/mukadzi wako zvinodii? Hino ukamirira kuti pane munhu achazouya okudzidzisa uchamirira kusvika riini?

16How do I fix mukadzi anohura? Kana mukadzi wako achihura hwisisa kuti kuhura kwevanhukadzi kwakasiyana chose nekwavarume asi vese vanokwanisa kuunza rufu mumba. Hakuna munhu anofanira kukurudzigwa kuhura nokuti chinhu chakaipa chose.

Hwisia chikonzero chaitisa kuti ahure. Chikuru chinokonzeresa vanhukadzi kuhura kushaya rudo mumba. Kana mumba musina rudo munhukadzi anokuhurira. Koitazve kuti unomuda uye unomutaridza rudo asi pakuisana unomukasirira. Hakuna chinhu chinobhowa saichocho. Ukaita nguva uchidaro anokwanisa kufunga kuti haumudi obva atanga kuhura.

Kana ahura, chirega kufunga kuti zvaperera ipapo. Bodo, vakawanda vese varume nevakadzi kana akatangakuhura haacharegi. Excitement iri pakuhura yakawandisa zvokuti inoita munhu ade kuhura. Kana wada zvokumuFIKISA, murambe adzokere kumusha kwavo iwe wosara wotsvaka umwe asi uchaona kuti uchawana umwe anokuhurira futi kana usina kunatsa kuhwisisa kuti uyu wawaramba sei ahura. 
17Kana ndichirwadziwa pakuita bonde nemurume chingava chii uye ndingaita sei Zvinobva nokuti panogwadza chaipo ndepapi. Unokwanisa kugwadziwa pazvikandiro, mukati mechitubu, Kana kuti unotsemuka kuzasi kwechitubu.

pano tongotaura nokugwadziwa mukati kunoitiswa nokuti hauna kunatsonyorova. Kana moda kuisana imboitai nguva muchirezvana kusvika wanyorova  mukati zvinoti unotosinira zvichibuda kutaridza kuti kwanyorova. Zvadaro chirega murume apinze chombo.

Kana usinganyorovi nokurezvana chishandisa mafuta awa kuwedzera kunyorova.

Shandisai KY jelly  kana muchifunga zvemimba. Kana musina hanya nemimba muchingoda kuisana kusingagwadzi shandisai maoiri awa anoti 

1 Walnut OIL
2 Almond OIL 
3 Coconut OIL

Dsese dzikunhuwirira kunoenderana nekuita zemo. Donhedza madomhwe eoiri pamukova wechitubu, uye kuzora oiri pachombo chomurume paanenge oda kuti muchitanga basa. Zvinoita kuti kuisana kusakugwadzisa. 
18Ndingaita sei kuti murume asaita chihure?


Mushonga wekuchengetedza murume unowanikwa kupi?
Hapana chaunokwanisa kuita kuti murume wako asahura. Iye ndiye ega anokwanisa kurega kuhura zvabva mumoyo make kuti achirega. Hakuna chimwe chaunokwanisa kuita kana kumuitira chingamuregesa kuhura. Kune vamwe vanoti kune mishonga yokuregesa varume kuhura asi chokwadi ndechekuti dai mishonga yakadai yaishanda dai kusisina murume anohura.

Iwe chaunofanira kuita kana uchida murume wako nokuhura kwake, kumuudza kuti zvinokushungurudza uye kana achihura ngaashandise makondhomu kuti iwe usazobata chigwere.

Zvinozikamwa kuti varume vanoti ambohura ozokwanisa kuregera vashomana zvokuti mudunhu rokwenyu unokwanisa kushaya kana umwe chete. Chihure chinoitiswa nokumhura muhu waunaye mumba saka zvichinetsa kuregera. Unoonekwa somunhu asina maturo nomurume wako. Hapana chaunokwanisa kuita. Ndiwo maonere ake kana achikutarisa. 
19 Ndikarara nemukadzi arikumwedzi anoita mimba here? Aiwa bodo haaiti mimba. Mimba inozotanga kubata kwapera mazuva kuda manomwe mukadzi abva kumwedzi. Anozikandira zai ave kuenda kumazuva 13-15 asi hwisisa kuti urume hunorarama maziva mana huri mukati memukadzi saka munokwanisa kuisana neMuvhuro manheru iye ozobata mimba neChishanu manheru.

Asi kana musingadi mumba itai tsika yokuisana iwe wakapfeka kondhomu. 
20Ndibatsireiwo. Chii chingaita kuti ndinakirwe nemurume? Kuti udzidze kunakigwa nokuisana nomurume wajo iwe pachako unofanira kuziva zvinokunakira. Unofanira kuhwisisa zvinoda muviri wako sokuti kana uchizvibatabata murume asipo undohwa maitire api achinaka. Kana wahwisisa chiwana mukana wekutaridza murume wako kuti izvi zvinonaka izvi hazvinyanyi kunaka.

Vamwe vanhukadzi vanonakigwa kana murume achitora nguva refu ari mukati memukadzi vachipota vachikoirana, pamwe vombozorora murume ari mukati, Pamwe mukadzi omboisa maoko pakati ozvikwizirira bhinzi murume ari mukati make (zvinonaka izvozvo)

Kana murume wako ari munhu ane njere anokwanisa kuzokubatsira kuti unakigwe. nokuda kwekuhwisisa zvinokunakira. Vanhukadzi vakasiyana siyana asi vakawanda kunakigwa kwavo kunobva pabhinzi saka iwe hwisisa bhinzi yako.

Vamwe varume vane njere shoma havatodi kuti mukadzi anakigwe. anongoda kukupinza chombo obva angoti kupinda nokutotunda nguva imwe cheteto pasina chamboitwa. Hazvinaki izvozvo. Murume ngaazame kuisana ari mukati mako kupfuura maminitsi manomwe.

21Chii chinokonzera mvura yakawanda mukati memukadzi pakuisana? Chinokonzera vura yakawanda izemo. Kana mukadzi akada chose kuiswa anowedzera kunyorova. Kune vamwe vanoeredza. Hapana chakaipa. Kune varume vakawanda chose vanofadzwa nokueredza kwemukadzi wake nokuti anobvz aziva kuti mukadzi wake ane zemo rakakwirira.

Asi pane nyaya yokuti kuisana kana wakawanza mvura kunoderedza kukweshana kwenu zvoreva kuti pamwe kunaka kunoderera. Kana uchiona kuti unowedzeresa kunyorova, chinjai maitire sokuti ukavata nedumbu wakatandavara makumbo ari pamwe chete woisa pillow pasi pechiuno kuti ukwanisa kusimudzira chiuno kuti murume apinze. Kana ava mukati mese munokoirana asi unokwanisa kushinya chombo zvisinei kuti uri kueredza. Munohwa kukweshana kunonaka.

Mamwe maitire kupakicha makumbo ese pamafudzi amurume wakavata manhede. Murume anokwanisa kupinza xchombo chese zvacho uye kunyorova hakuna mbosva pakadaro. Ukatarisa kumeso kwemurume wako makadaro uchaona kuti ari kunakigwa nazvo. Iwewo kunokwanisa kugofiwa pa G-spot zvinova zvinonaka.

Kunyorova kwakanakira kuti kurume anononoka kutunda

22Mishanga:
mushonga wekukudza chombo
Mushonga wekukudza mazamu
Mushonga wekukudza magaro

mushonga wekudyisa murume
Mushonga wekudyisa mukadzi
Musonga wekusunga mukadzi
Mushona wekusunga murume.
Veduweeka ngatihwisise kuti mishonga iyi mupasi rese hakuna. Kana ukamuwana, Ndinyorere nokukasira nokuti unokwanisa kuita Billionaire gore risina kupera.

Mishonga yese iyi dzinongori nyambo dzevanhu vekubhawa kana vasisina nyaya dzinonakidza. Hakuna munhu ane mishonga iyi chero n'anga ipi zvaya chero muporofita upi zvake. Hakuna.

Musatombotambisa nguva muchitsvaka. Kurasha mari yaunayo muhombodo mako pasina chaunowana pazviri.

Hwisisazve kuti mhomho yevanhukadzi vanoda chombo chesaizi yakaanira kwete ziguru runogwadza kuiswa naro. Kugwadza handiko kunakigwa. Chombo chimire chinosvika pa 13-15 cm kureba, kukora 12-14 cm. Hwisisazve kuti chombo chomurume umwe chete chine masaizi akawanda zvichibva nezemo rake.  
23Munhukadzi anobvumidzwa here kubata chombo chemurume wake? Ndashaya kuti mubvunzo uyu wava kupi. Vanhu vakaroorana vanogarorezvana vachibatana pamberi pakupanana zemo vachigadzirira kuisana. Saka handisi kuhwisisa kuti mubvunzo wakanangepi.

Hazviiti kuti uve nomurume mumbba ugopedza 24 HOURS usina kubata chombo chomurume wako. Zvinenga zvaita sei? Munhukadzi wese ane murume anoshamwaridzana nechombo chemurume wake.

Kana murume akaneta asi muchida kuisana, unokwanisa kumupurudzira chombo kusvika chamira. Zvoreva kuti watochibata.

Kana mukatanga kudyanana pamberi, iwe unobata chombo wotanga kuchisveta, zvoreva kuti watochibata nemaoko.

Kana murume ava nezemo, iwewo wanatsa kunyorova, toti wavata manhede wavhura makumbo, murume pakati. murume haakwanisi kuona pokupinza chombo saka iwe unoisa ruoko pakati penyu wotora chombo wochinangisa murume opinza.

Kana mapedza kuisana iwe unotora tawero wopukuta chombo chomurume wako, pamwe wotombochiputira netawero nokuti murume anokwanisa kuramba achivhinza osvibisa mashitibheta, Saka ukamboputira anovhinzira mutawero.

Saka zvinokwanisika here kuti mungagara mese mumba musingabatani pamberi? Menge muchizviita sei? Hameno pamwe kune vanogara upenyu hwakasiyana. Tijekesereiwo tohwe. 

24Murume wangu kare aishanda pabonde zvinofadza. Parizvino akaita kana two minutes chaiyo anenga atowanza. Ndenge hure rake. Handisisina mufaro. Ndibatsireiwo Please. Panyaya yokukukasirira apa, unofanira kuhwisisa chose kuti unofanira kuigadzirisa nokuti ndicho chimwe chezvikonzera zvinoitisa vanhukadzi vane varume, vaite sevasina varume. Zviri nani kugara usina murume zvachose pane kita murume anokukasirira. Gadzirisa nyaya. Kuigadzirisa tanga nokutsanangurira murume wako kuti unomuda chose asi zviri nani kuti mese munakigwe pakuisana. Womuudza kuti maminitsi maviri haaite. Kunodiwa kuti apfuure kumanomwe. Asi kuti zviitike unofanira kumubatsira. Womudzidzisa kupinza chombo nokuita nyaya makapindana pasina anofakanyika kwekanguva, Mombopatsana monoita chimwe chinhu chisinei nokuisana. Modzokera pakupinzana momboita futi dzimwe nyaya. Izvi zvinoitigwa kuti murume ajaire kudziya kwemukato memukadzi wake kuti akwanise kunonoka. Saka mopota muchidaro. Zvinotora nguva kuti murume ajaire kunonoka.


25Ndiri murume ane mari asi handisi mufumi hangu. Ndinoda musikana wekuroora asi ndoda anoda ini kwete mari yangu. Ndomuwana kupi? Kana uchisangana nokunyengana nevasikana usavaudza nezvoufumi hwako. Ingoitai nyanya dzerudo uye mabasa. Kune vasikana vashomanana vanotsvaka mari pamurume. Vamwe vese vanoda murume anoshanda, anemoyo wakanaka, uye anokwanisa kuriritira mhuri.

Asi zvinonetsa kuvanza nyaya yokuti une mari. Kupfeka kwako nevanhu vaunofambidzana navo zvinoratidza kuti une mari here kana kuti kwete, saka pakutaura woona kuti hausi kushambadzira nyaya dzemari. 
26Ndiri kuda kudya chombo chomurume asi ndinonyara kumuudza. iye haazivi kuti ndinoda.
Uye handizivi kuti ndinodya sei.
Unofanira kutanga wabvumirana nomurume wako kuti unoda kumudya. Kana akapusa anokubvunza kuti wazvidzidziswa nani, nokuti varume zvinovanetsa kuhwisisa kuti mukadzi angakwanisa kufunga ega nyaya dzokuisana. Vanofunga kuti unenga watodzidziswa noumwe murume.

Kana ane njere hazvikunetsi. Unongokumbira kumusveta chombo anokuti sveta hako. unomubata chombo muruoko mabva kunogeza, wotanga nokunenzva norurimi chete. Unotoona chichiwedzera kumira.

Pota uchibvunza kuti zviri kunaka here. Pamwe anokuudza zvimwe zvokuita. Kana asina kukuudza unokwanisa kutanga kumusveta sezvaunoita chihwitsi chine chitanda. Sveta zvinyoronyoro uye usa rega mazino achinosangana nechombo. Pamwe ita zvokumwa semwana ari pazamu, asi zviri zvinyoronyoro.  Hwisisa kuti chinonakira murume wako ndechipi ndichochaunowedzera.

27Ndodawo kuziva zvokuita wabata mukadzi achihuraKana wabata mukadzi/murume achihura, chikutanga enda unotesitwa kuti hauna kupiwa zvigwere here, nokuti munhu anohura haana kutangira ipapo. Zvoreva kuti unokwanisa kunge watova nezvigwere. Unofanira kuksira kuziva paumire.

Zvadaro kasira kuudza hama dzenyu mese. Kana mune vana kasira kufunga nezvevana. Matori pa CRISIS MANAGEMENT. Funga vana vako. Usaita hasha nemunhu nokuti zvinozoita sokuti pane chawaita kuti ahure. Kana uchikwanisa kutonyarara zvachose worega kutaura naye nezvaaita kusvika wanatsa kudzikama hana.

Chihwisisa kuti nyaya yawava nayo yoda kuronga kutsva nokuhwisisa kutsva. Zvibvunze kuti chii chauri kuda kuita panyaya yako. Unoda mukadzi/murume wako here? Kana uchimuda mude hako asi hwisisa kuti vanhu vakawanda vanohura hazviiti kuti varegere kuhura. Asi kana uchiziva kuti chihure chake ndiwe wachikonzera nokuda kwezviito zvako, sokuti kusamugutsa, kusamuratidza rudo, kumusiya ari ega pamba uchienda kubasa kure, zvoreva kuti akanganisa asi iwewo uripo pakukanganisa kwake. Kana munhu akamboravidzwa nyaya yokuisana zvinomunetsa kugarisa asina, zvikuru kana pasina vimbiso yokuti zvichadzoka riini.

Kana wafunga zvokuita, sokuti mukadzi/murume hauchadi chikasira kumuudza. Pamwe iyewo haachakudi saka hazvinetsi. Pamwe anonyebera kuchema kuti asatukwa. Hwisisa kuti kunyebera.

Kana pane munhu mukuru mumhuri yenyu, ngaauye mutaure nezvevana.

Kana usingazivi zvokuita, wana mukana wekuti muparadzane usare uchifunga zvaunoda mozotaura wava kuziva. Kana muri kune imwe nyika mese musina kwekuenda kana mukaparadzana, zama kuti mumba muve noumwe munhu nokuti kana munhu akagumbuka anokwanisa kukuvadza umwe.

28Ndingagutsa sei mudzimai wangu pabonde?Hakuna munhu anokwanisa kupindura mubvunzo wako zvakakwana nokuti umwe noumwe munhu anoguta zvakasiyana. Saka iwe kuti ugutse mukadzi zvinobva nokuti iye chii chaanoita kana ari ega chinomugutsa.

Saka ita zvokubvunza kusvika wahwisisa kuti chii chinomunakira. Kana wahwisisa, chihwisisazve kuti kunaka kwezvese zvinomunakira kunobva pakuti iwe unotora nguva uchizviita. Kutora nguva kwemutume kwakakosha chose. Kana mabvumirana zvokupinzana chombo. Pfuudza maminitsi manomwe uri mukati memukadzi wako.

29Kukurumidza kurasa mbeu pabonde zvinokonzerwa nei?Zvinokonzegwa nokushaya hanya nokunakigwa kweumwe wako. Kukurumidzigwa nomurume zvinosvota zvisingaite. Zvinokonzera vakadzi vakawanda chose munyika dzakasiyana siyana kuti vafunge zvokuhura nokuda kwekusvota kwazvinoita.

Unofanira kufunga pamusoro pezvauri kuitira mukadzi wako. Chinhu chakanaka kuti watanga nokubvunza. Chifunga zvaugaita kuti uwedzere nguva naye. Chokutanga kutaudzana naye pamusoro pezviri kuitika kuti mese muzive kuti inyaya yokubatsirana kuwedzera nguva.

Kuisana chiito chinodzidzisanwa sezvinongoita zvimwe zviito. Chinonetsa ndechokuti imi muri vaviri ndimi munodzidzisana asi pamwe mese munotodawo kudzidziswa. Kuti unonoke chombo chinofanira kujaira kudziya kwemuviri wemukadzi. Saka funga kuti unochijaidza sei.  
30Kana tambotukana tikanyararirana, tinozotanga sei kutaudzana uye ndiani anotanga kutaudza umwe? Kana muri vanhu vane njere hamufaniri kunyararirana muchiti nokuti matukana. Kunyararirana kunotanga nomunhu umwe chete kunyararira umwe. Iyeye ndiye anofanira kuzotanga kutaudza umwe, nokuti ndiye benzi. Kana umwe wako atanga kukunyararira, iwe usaita hanya nazvo. Musiye akadaro. kana oda kutaura achadzoka ega otanga futi kutaura.

Asi munhu anowanzonyararira umwe anotaridza kushaya njere. Kana wagumbuka nezvaitwa noumwe wako, zviri nani kumutsanangurira kuti chii chaakanganisa kuti anatse kuhwisisa. 
31Chii chinoshandiswa kudzora kuzasi kwemukadzi kana wazvara? Verenga apa.
https://maichibwe.blogspot.com/2014/12/kudhambha-kwechitubu-chomukadzi.html

2 https://maichibwe.blogspot.com/2012/06/kusimbisa-masuru.html

Kana pane zvausina kuhwisisa wobvunzazve. 
32Handigoni kunyenga. Ndoita sei? udza hama neshamwari kuti hagoni kunyenga wovaudza kuti musikana wauri kuda ndeupi voenda vonokusvitsira shoko. zvadaro iwe wozoenda uchiziva kuti musikana ava kutoziva kuti unomuda.

Mazuvano zvakawanda zvinoitwa pafoni dzemuhombodo dzavako idzi. ingomutumira mashoko ehushamwari. Kana ava shamwari yako, garomuudza nyaya dzinofadza kusvika iyewo ava kukuydza nyaya dzinofadza. wongozomuudza kuti unomuda majairana. 
33 HIV inoonekwa sei? Ndingaziva sei kuti munhu ane HIV? Ndingaziva sei kuti ini ndine HIV? Kana wafungira kuti une HIV, enda kuTEST nokukasira HIV isati yadzika midzi. Kana ukabatwa HIV unkakasira kuenda pa PROGRAM unorarama nguva refu chose mazuvano. Vari kuti unopfuura 35 years.

Kana ukainonokera zvinozokuvhiringa mberi uko.

Asizve hwisisa kuti ndiwe wakonzera kuti uite HIV nokuda kwekusaita hanya noupenyu hwako. Mutemo wezvigwere zvechihure unoti iwo kana wada kuvata nomunhu, tangai maenda mese kuTEST, moudzwa pamumire, modudzirana mozobvunzana kuti mimba moidzivirira sei. Kana mabvumirana, mochitanga henyu kuvatana muchihwisisa kuti hamuhurirani. Kana umwe akahura, mumbomira kuvatana kusvika maenda ku Test kaviri pa mwedzi mitanhatu, Kana maregererana motangazve kuvatana.

Haisi nyaya yokuti iwe unofunga kuti utano hwako huri mumaoko eumwe munhu. Bodo usavata nomunhu wausingazivi STATUS yake.

34Mapiritsi ekudzivirira nhumbu angava nenjodzi here kumukadzi asina kumbozvara.Mapiritsi ukudzivirira mimba ane zvakawanda zvaanokwanisa kuita pamuviri wemunhukadzi asi zvinogadziriswa hazvo.

1 Unokwanisa kukanganisa nguva yako yokumwedzi. Unokwanisa kuenda kumwedzi kaviri pamwedzi kana kumira kuenda kumwedzi zvachose.

2 Kana wazoti wabva pamapiritsi, unokwanisa kuita gore nehafu usingakwanisi kubata mimba.

Ndizvo zvikuru zvingaitika, asi hazvina basa kuti wakambozvara here kana uti kwete. Zvinoitika kune vakawanda. 
35Kusuwa chombo murume asipo. Ndoita sei?Tese tinoshuva varume/vakadzi vedu kana vasipo. Zvokuita ndezvokugarotaura navo pafoni. Asi iwe mubvunzo wako hausi wekuti unoshuva munhu asi kuti unoshuva kuiswa naye. Saka inyaya yekuti une zemo asi wekuvata naye haapo.

tanga wataura neye pafoni womuudza kuti uri kufunga nyaya yokuisana asi iye haapo. Iye achaziva kuti uri kumufunga. Iwewo uchiziva kuti ari kukufunga. Kana mapedza kutaurirana pinda muBEDROOM mako wokiya mukova, zvisinei kuti mumba hamuna umwe munhu.  Wozvibatabata nokuzvikwizirira bhinzi kusvika watunda wabva zemo.

Hakuna munhu, zvikuru verudzi gwedu, asingagoni kuzvibvisa zemo nemaoko. Uye tese tinoziva kuti manakire azvo akasiyana hawo nokuvata nomurume, saka zemo rinokwanisa kumbopera asi unongofunga kuti dai murume wangu aripo ambonditsimbirira ndichinatsa kumubata muviri wake, ndichinatsa kuhwa chombo chiri mukati mangu.

Ndoosaka tichikurudzira vakaroorana kuti zamai kugara mese, kwete kuti umwe uko, umwe uko. 
36Chii chinonzi maronda emudumbu?Maronda emudumbu ane mazita akasiyana paChirungu, zvichibva nokuti ari papi mudumbu.
1 Stomach ulcers/gastric ulcers
2 Duodenal ulcers
3 Esophageal ulcers

Ese zvawo anofanira kuti ukasire kundorapiwa uye kana ukaterera zvaunoudzwa ukazviita nomoyo wese, anorapika.  Asi anogwadza zvisingaite, saka terera. 
37Chii chingadyiwa kuti unakirwe nebonde? Kunakigwa nekuisana kunobva mufungwa kwete mumuviri. Muviri unoterera zviri mufungwa.Iwe muridzi ndiwe unotozvidzidzisa kunakigwa nokuisana. Hwisisa muviri wako. Sanganisa mafungire ako nezviri pamuviri wako.

Garokwizirira nyama dzakatenderedza bhinzi yako kusvika wava kuziva kuti mabatire anokunakira ndeapi, wodzidzisa murume wako zvokuita kukubatsira.

Usapinzwa chombo kuzasi kusina kunyorova. Zvinogwadza saka hazvinaki. Tanga wanyorova zvichibva pakurezvana muchikisana, kupurudzirana, kupa murume zamu achisveta. kukupurudzira matinji, bhinzi, magaro, etc. Iwewo kutamba nechombo chake, kana wada kuchisveta zvinova zvinokuwedzera kunyorova zasi.

Kana murume apinza chombo iwe isa maoko pakati penyu uzvikwize bhinzi iye achikukoira zvinova zvinonaka chose. 
38Ndingaita sei kusimbisa chombo? Hachisi kunatsa kumira. Chokutanga kukasira kuhwisisa kuti sei hisna kusimba. Pne zvikonzero zvakati wandai asi hikuru chazvo ndechokuti unokwanisa kuva nedambudziko pautano, sokuti chigwere chomoyo, kana kuti uri kushandisa mushonga we BP, saka zviri nani kukasira kuenda kumurapi wonotsanangura kuti chombo hachina simba kuti vakasire kuongorora nokukuudza chikonzero.

Kana chaimbori nesimba kare zvoreva kuti pane chawakaita kana kuti mishonga yauri kushandisa isingawirirani nokumira kwechoombo.

Kana waimboshandisa mishonga yokumisa chombo ukazoregera chombo chinoramba kuita simba pasina mishonga yacho. Gadzirisa nyaya iyi nokukasira, zvikuru kana une makore ari pasi pe 65. 
39Ko candle rinobvisa humhandara here?

Ko chigunwe chinobvisa humhandara here? 
Mubvunzo wako haunatsi kuhwisisika. Kuti munhu ahi abva humhandara hunge apinzwa chombo nomurume. zvisinei kuti abvaruka chivharo here kana kwete. Kuzvipinza Vibrator, Dildo, kana chimwe chinhu hakunei nokubviswa humhandara.

Hwisisa kuti unokwanisa kuva munhu ane chivharo chake chisina kubvaruka asi usiri mhandara zvachose, kugowanikwazve umwe akabvaruka chivharo kare kare asi ari mhandara. kuva mhandara hunge usina kumboiswa nomurume.

Kana uchigaroshandisa ma TAMPON, uri kumwedzi, zvinoitika chose kuti unobvaruka chivharo asi uri mhandara.


Kune vasikana vakawandisa vanogarovata nevarume asi vasina kubvaruka zvivharo. Izvi zvinoitwa sokuti ukawana mukomana anofarira kungopinza kutsvina chete zvoreva kuti kuno kumberi unoramba usina kubvaruka. Kunyika zvinji mazivano ndizvo zvavanoita. kuitira kuti akawanikwa agoti imhandara, zvikuru vechiMoslem vanokwanisa kuzopanichiwa.

Unokwanisazve kupinzwa chombo ugosabvaruka chivharo. Izvi zvinoitika chose cokuti chivharo chinotatamuka saka kana murume asina EXPERIENCE yokuisana, iwewo usina, unokwanisa kuiswa ugosabvaruka. Asi hauchisiri mhandara nokuti wava kuziva chombo.

Unokwanisazve kunakigwa chose asi chombo chisina kunatsopinda. Ingari yokuti kunaka kwakawanda kunobva pabhinzi.

Vashoma vanhukadzi vane hanya nokuzvipinza chimwe chinhu. Chikuru kungokwiza bhinzi kana uri wega. Usazvinetsa nemakandhuro kana chihumwe.

Hakuna umwe munhu anokwanisa kuziva kuti uri mhandara here kana kwete kuzhe kwako iwe nomukomana awakavata naye. Vamwe vese vanozotevera ava kungoita zvokufembera asi hazviiti vave nechokwadi pazviri.

40Ko kana ndichiisana nomurume ndinofanira kuita sei?Iwe unofunga kuti unofanira kuita sei? Varume vanhu vakatosiyana siyana. Umwe noumwe anofarira zvaanofarira, saka unofanira zvaanofarira. Iwe chokutanga musati maisana, bvunza murume wako kuti chii chaanofarira kuita newe. Kana akuudza woita izvozvo. Kana asina kukuudza, ramba uchibvunza.

Kana moda kutoisana bvunza kuti anoda kuita sei? Kana akuudza ita izvozvo. Usangoiswa usina kubvunza kuti anoda kuita sei? Wabvunza, mirira apindure. Kana usingadi kubvunza, muudze zvauri kuda iwe.

Mava kuisana taridza kuti zviri kukunakira. Batirira murume, chemerera murume, shandisa chiuno murume aite manyawi nazvo.

Shinya chombo chomurume nechitubu chako. Woti Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu, Kwiii-Regedzu,

Kwii inoitwa kana chombo chapinda chese, uku wakabatatirira. Ukahwa oda kubuda woti Regedzu.
Kana ukahwa oda kunotunda, purudzira magaro ake uku womuti KWIII ari mukati. Kana uri pa manhede sunga mabvi ake nemakumbo ako kuti asakwanisa kufakanyika achitunda. Ramba uchipurudzira magaro kusvika apedza kutunda. Unoona achibuda rute nokuwedzera kubwaira nokuda kwekunakigwa.

Asizve iwewo anokuzadza urume saka uchawedzera kuvinza kana mapedza.
41Kana uchida magaro makuru uniita sei?Kukura kwenhengo dzomuviri kunoitiswa ne anohi ma GENE aunopiwa navabereki vako. Hapana zvaunokwanisa kuita kuwedzera kana kutapudza makurire akaita zvinhu zvinoti
magaro
matinji
bhinzi
chombo chomurume wako.
mazamu

Zvimwe unokwanisa kuwedzera kudya wokora kuita zimuviri ziguru, asi uchashaya utano.

Chikuru ndechokuti unofanira kuramba uri zvauri kubva pawakanyengwa nomukomana wako nokuti ndizvo zvakaita akude izvozvo. 
42Chii chinoita kuti chombo chirambe chakamira kwenguva yakareba pakuisana? Kana une utano hwakakwana chombo chinoramba chakamira kusvikira muridzi atunda urume. Kana ari murume ane DISCIPLINE anononoka kutunda, zvoreva kuti chombo chinoramba chakangomira kusvika azotunda. Mukadzi wake obva anakigwawo chose. Varume vanokasira kutunda, sokuti havasviki maminitsi manomwe ari mukati achikwesha, havanakiri vakadzi. Zvikuru kana une murume akadai uri padambudziko guru nokuti haanaki. 
43Chii chinokonzeresa kuti musoro urwadze?1 Kana usingamwi mvur yakakwana pazuva unohwa musoro. Unofanira kumwa mvura inoita makapu 8 kana kuti ma LITRE maviri pa 24 hours

2 Kana usingavati nguva yakakwana inoita ma AWA manomwe kana masere zuva rimwe nerimwe.

3 Kana une BP yakakwira unoita musoro.

4 Kana uchidya zvokudya zvakawandisa Unoita musoro. Kana ukakunga chibhakera hwisisa kuti zvokudya zvaunodya katatu pazuva zvinofanira kuenzana nezvibhakera zvako zviviri. Saka pazuva unodya zvokudya zvakaenzana nezvibhakera zvitanhatu (6)
6 Kana uchinonoka kuenda kuchimbuzi kana muviri woda zvechimbuzi, unoita musoro.

Kana wagadzirisa zvese izvi asi uchingogwadziwa musoro kasira kundoonekwa nokuti pamwe unenga une chiri kukura mumusoro. Kana kuti wakambokuvara musoro saka pane dambudziko rinoda SCAN kana X_RAY. 
44Chii chinoita kuti murume ade kuita marounds akawanda.Varume vanhu vasinganatsi kuhwisisa kuti chii chinonakira munhukadzi pakuisana. Vanoona sokuti Kupiwa urume ndizvo zvinonakira munhukadzi.

Chinohi RHOUNDI inguva yokubva murume paanopinza chombo kusvika paanotunda zvisinei kuti aita maminitsi mangani. Varume vakawanda vasina ruzivo pazviri vanoona sokuti mukadzi aktundigwa urume kakawanda zvoreva kuti anakigwa.

Boro. Munhukadzi anokwanisa kunakigwa zvakawandisa atundigwa urume kamwe chete nomurume anotora nguva refu achikweshana nomukadzi wake, pane anoita miniti imwe chete obva atotunda. Nguva refu ndiyo inonaka, kwete kuti mrume atunda. Varume dai mahwisisa nyaya iyi.

Ukazomukirawo hako mukadzi wako usiku wambomukweshakwesha kwemaminitsi anopfuura manomwe pamunoisana pokutanga, hazvichina mhosva. Chakaipa ndechokuti ma rhaundhi mashanu asi mukadzi haana kana kumbogutawo asi avata akasvinura. Bodo musadaro.

Chinoitisa murume akwanie kuita maRhoundhi kugaroita marhaundhi. Muviri unotevedzera zvaunoda iwe kugaroita. Mukagaroisana katatu pazuva mese munopedzisira mongoda kuisana kakawanda pazuva. Mukaregereranawo ndizvozvo.


45Kuzvibatabata uriwega kana kuti muri mese (bonyora) kunobatsireiKunobatsira kubvisa zemo. Kana une zemo unokwanisa kupedza zemo wega kana kuti neumwe munhu. Kana uri wega unozvibatabata wozvikwizirira bhinzi nepamberi kusvika watunda. Kana uri munhu wezera rechidiki unokwanisa kutora nguva, asi kana wapfuura makore 26 kazvinji hazvinetsi.

Kuvarumewo vane maitire avo kuti azvitundise ega.

Kana muri mese murume nomukadzi, Mukadzi anokwanisa kuzvikwiza bhinzi murume ari mukati make, kuti mese mutunde zemo ripere.

46Chibereko chinosukwa sei? Chibereko chinongosukwa kuchipatara chete. Hakuna kumwe kunokwanisika kusukwa chibereko. Usaenda kun'anga kana kumuporogita kana kune umwe munhu. Enda kuchipatara chete chete. Vanotanga vakutarisa kuti unofanira here kusukwa chibereko. Zvadaro vanokusuka chibereko.

Hazvikwanisiki kuitwa pasina chipatara. 
47Musikana anobatwa pai kuti ade bonde? Musikana haabatwi kuti ade bonde. Kana ava munhu abva zera anotoda bonde pasina zvokuti abatwa kana kuti kwe. Kuda bonde zviri muvanhu vese. Munenge matobvumirana kuti mese muri kuda bonde. Kana musina kubvumirana usatombomubata nokuti anokwanisa kukusungisa.

Chokutanga bvumiranai kuti mese muri kuda bonde. Kana umwe asingadi hapana chinofanira kuitika.

Chechipiri chiitai zvokubatana makamirira kuti mukadzi anyorove. Zvinokwanisa kuita nguva sokuti maminitsi gumi nemashanu kusvika kumakumi maviri muchingo tamba.

Chechitatu mukadzi opfekedza murume kondhomu.

Chechina moisana murume oita nguva ari mukati memukadzi kusvika maminitsi anopfuura manomwe kuti mukadzi anakigwe. Zvadaro murume ozotundawo.

Chechishanu umwe wenyu obvisa kondhomu oriputira ne TOILET ROLL. Mukadzi ozvipukuta opukitawo chombo chomurume. Mombundikirana morezvana kuratidza kuti mese mafadzwa nezvamaita. Moudzana kuti zvange zvichinaka sei.

 Chechitanhatu: Moonekana moita zvehope. Kana mange magutisana mese, zvava zvamangwana mangwanani kuma5.30 am. saka vatai rimwe kondhomu riri pedo.

48Chii chingashanda nekukasika kudzora dumbu rakakurisa?
Ndine zidumbu.
Enda unotenga bhasikoro uchovhe zuva rimwe nerimwe kwnguva inopfuura hafu ye awa.

Idya zvokudya zvakakukwanira kwete kuwanza

Idya zvokudya zvine balance.

Pakubika usawanza mafuta.

Famba ma KILOMETRE maviri pazuva, uye kana une gadheni imbopota uchinotimba  kusvika wadikitira.

Chimbosiyana nedoro.

49Kunhuwa hapwa uchibva kunogeza kunokonzerwa nei? Kunhuwa hapwa kunoitiswa nema Bacteria anova amwe chetewo anonhuwisa pamberi, kuseri kezheve, pasi pemazamu (kana akawa), guvhu ana une rakawira.

Unokwanisa kugeza kaviri kana katatu pazuva asi hazvikubatsiri chinhu. Mvura haiurai maBACTERIA acho.

Kana uchida kutapudza maBACTERIA unoita chimwe chezvinhu zviviri kana kuti zvese zvinoti:

1 kunyorovesa nzvimbo idzi ne VINEGAR. Isa vinegar pa COTTON WOOL, wo nyorovesa hapwa, zvidya nepamberi, (bhenengura chakafukidza bhinzi woisa vinegar ipapo) kuseri kwezheve, pasi pemazamu, pakati pemagaro. Mirira 15 minutes. Chienda undogeza.

2 Tsvaka mashizha emu GUMTREE achiri echidiki, woakuya wonyika mumvura. Wogeza nemvura yacho. Mashizha awa ane munhuhwi we EUCALYPTUS usingadiwi nezvipukanana zvakawanda.

Kana wakashinga zora VICKS sezvinoitwa mafuta. VICKS in EUCALYPTUS OIL inotapudza ma BACTERIA. Wazora VICKS mirira kana awa, wozonogeza. Unokwanisazve kuizora woda kunovata wozogeza mamgwana.  Asi hwisisa kuti VICKS inososona, zvikuru pamberi.

Kaviri pavhiki mazuva okutanga. Wozopota uchiita kamwe pamwedzi. 
50Cocacola yakaboiliswa inobvisa mimba here? Chakanaka kuhwisisa kuti Mimba inoitiswa nokuvata nomurume pasina kondhomu kana kuti usiri pamapiritsi uye usina kupiwa COIL kana Implant. Murume wacho haasi wako futi.

Zvoreva kuti uri benzi remunhu hauna hanya noupenyu hwako. Murume wawakavata naye haanawo hanya newe. Zvino chiona pano wava kubvunza kuti COCACOLA inobvisa here mimba.
Cocacola in zvinhu zvinoti
1 caffeine citrate.
2 citric acid.
3 vanilla extract.
4 lime juice.
5 flavoring
6 sugar.
7 coca leaf juice

Pane zvese izvi chaunoonawo iwe chingabvisa mimba ndechipi?

Kana ukawana chinokwanisa kubvisa mimba ukada kuchishandisa chitanga waoneka hama dzako, zvikuru mai vako vakakurera kuti uite munhu kwaye iwe ndokufunga kuita benzi, Mai vako vachakuchema wafa. Kana ukararama, unenga wakuvadza chibereko chako zvokuti kana wazowana murume ane hanya newe, uchatadza kuita mwana naye.

Kana pane chausina kuhwisisa ndinyorere pa maichibwe@yahoo.co.uk tiongorore nyaya yako. Handina kufara chose nomubvunzo wako.