Tuesday 19 June 2012

Munhu abatwa achihura

Zvinoita here kuti munhu abatwa achihura aregeregwa nomukadzi/murume wake obva arega zvekuhura? Kana tichitarisa pavanhu vanohura tinoona kuti kuhura kunobva pakumhura munhu wawakaroorana naye, kusvika muhuri wacho otaura mashoko ekumhura chaiwo. Unohwa munhu oti:


  • Basa rake harizi repamusoro seranhingi.
  • Haana mazamu makuru seanhingi
  • Haagoni chikapa sanhingi
  • Haana mota sanhingi anayo
  • Haandiendesi kumaDisco kana kuma Movie
  • Chombo chake chidiki pane chanhingi
  • Haagoni kubika sanhingi.
  • Haana kumbondiendisa kuhotera sanhingi.

Awa mashoko ekumhura munhu wawakaroorana naye muchidanana iyewo achikuda nomoyo wose. Asi kana wazviisa pachihure wotanga kutuka nokushora. Imwe hazvanzi yangu isati yafa yakagariswa dare nehama ndokubvunzwa kuti sei uchiitita muroora wedu zvinhu zvakadai? Zvikahi Mubvunzei iye nokuti ndogara ndichimuudza kuti haandigutsi asi haadi kuterera. Mukomana uyu akashaika muna 2005, Mukadzi wakewo ndokusara achigwara ndokushaika muna 2006. Kusvika parufu aingoshuva murume wake asi murume wake akahura kusvika asisagoni kuzvigezesa.

Hazviiti kubvisa kushora uku pamunhu atanga kushora. Kushora kunobva pakusazvikudza iwe munhu, wobva watadzazve kukudza vamwe vanhu chero vari pedo newe vanokuda.  Hino munhu akadai chero akakuporomisa chino neicho, hazvibviri kuti agone kuchengeta poromisi dzakadaro nokuti haana rukudzo newe kana naiye pachake.

Kuregerera munhu awawana achihura hunge wada kuzviuraisa hako nenyaya dzezvigwere zvechihure. Iwewo ukaona watanga kuhura, chiudza umwe wako kuti muchato wapera hapachina chokugarira nokuti kuhura chaiko haucharegi.

Mukatarisa vakawanda vakazozikamwa kuti vanohura musafunga kuti mukadzi/murume wake haazivi. Anenge achitoziva asi kuti anofunga kuti zvichapera rimwe zuva. Unoona munhu achigara makore achingofunga kuti zvichapera. Kusahwisisa kuti nyaya yeupombwe inobva pakumhura umwe nokuzvimhura saka haikwanisi kupera.

Kana umwe wako ahura unombotambudzika moyo nokuzvibvunza kuti pane chawakaita here chaitisa kuti munhu adai, asi unozoona kuti hausiwe une nyaya.

Ndinombogaronyora kuti musanyimana mumba, asi shuwa hapana chaungaitira kana kurambira umwe wako zvokuti anobva afunga kukuhurira. Mushonga wemunhu ahura kumusiya ega iwe wotanga upenyu hwako wega. Wotanga nokunotesitwa kuti hauna chigwere here. Kana unacho woenda kumapurisa womusungisa. Kana usina wotenda Musiki wako pakukuchengeta wosiya mhombwe iri yega. Hakuna chaunokwanisa kuita kuti munhu arege kuhura. Chero ukaita shungu ukarova hazvikubatsiri nokuti uchipedza anotowana zvimwe zvokukushora nazvo.

Kufungira munhu kuti anohura:
Kazhinji munhu akatanga kuhura, pana chimwe chinhu chinototi chichinje chete. Anokwanisa kuwedzera rudo, kuda rhoji zvakawedzera, kukutengera zvimwe zvaange asingambotengi, kukufonera kakawedzera, kutanga kunonoka kuuya kumba asi overtime pasina, kunhuwirira zvakasiyana, kuwedzera kugeza, kukasira kuenda kubasa, mota inongohi yafa, kutuka tuka pasina nyaya, etc. Izvi hazvina kuti uri murudzii uye uri munyika ipi, munhu akatanga kuhura iye ange asingambohuri pane chimwe chaunoona chachinja nokukasira. Vakadzi vanowedzera kugeza, varume vanouya nema gifts.

Unohwa mukadzi mukuru achitozvirova dundundu kuti wangu ndakamuregerera ahura na nhingi Ikozvino haachaiti. Nyeberanai henyu asi akambohura anototi ahure futi pasina nguva yakawanda,

Kana usina kumubata zveshuwa kuti ambohura hapana chaungaita asi kana wawana PROOF yacho chirega kutambisa nguva uchifunga zvokuregerera. Kana uchida kuregerera regerera uchiziva kuti achazviita futi saka achada futi kuregeregwa. Iwewo kana uchihura, usamirira kubatwa. Funga nezvauri kuita uwane mukana wokuzvirega.

Ndakahwa Vamwe mai vechiZimba voti, "Mukadzi wake haasi mukadzi chaiye saka murume iFair Game." Umwe akabvunza kuti sei mati mukadzi wake haasi mukadzi chaiye? Zvikahi Mukadzi wake muIndia saka angangomirira iyeye here isu tiripo? Vanhu vakawanda vanofunga kuti rudzi gwavo chete ndigo gunogona rhoji saka kana munhu wekwedu akaroorana nomunhu asiri wekwedu motoona sokuti muri kubatsira kana muchihura naye. Chimira uone murume wacho kuti anodii akawana mukadzi wake achihura nomunhu wekunyika yake. Funga nezvauri kuita.

Kana uchihurira kuti chikomba chine mari, wako murume haana, chitanga wabvumirana nomurume kuti mari yenyu ibve pakuhura kwako. Kana abvuma woenda hako. Kana aramba iwe tsvaka basa utangewo kutambira kako kamari muchengete vana.

Ukatarisa munyika yedu unoona varume vakawanda chose vane vakadzi vechidiki. Ukaronda nyaya dzavo unoona kuti zvakabva pakuhura musikana uyu achihi SMORO HAUSI. Ipapo ange ane varume vatatu kana vana umwe noumwe achibvisa mari yeRENDI nokutenga zvokudya. Kozoti aita mimba anosarudza waanoda ipapo, murume otoita manyawi oramba mai vevana vake oroora hure riya. Iwe nyakuregerera warara uri pabani ipapo wava nechigwere chabva kuya kwaichinjanwa musikana.

Chii chingaitwa kuti munhu wako asahura?
Varume taridzai vakadzi venyu rudo munhu azive kuti ndiye akasarudza zvakanaka. Mukadzi akashaya SECURITY pamusha wake fungwa dzinowanda  otanga kumhura murume wake.

Vakadziwo ngatichengetei varume vedu, tivataridze kuti tinoziva zvatakavinga pamusha. Munhukadzi ndiye muvaki pamusha. Murume asina mukadzi anongoita zvisina maturo. Iwe kana wave mukadzi waNhingi chiratidza kuti Nhingi ave nomukadzi. Murume wako chero ari munhu asina anomutarisa kaviri, iwe dada naye umupe manyawi okuzvisimudzira kuita munhu anohi munhu. Vaka musha uonekwe.

Usafoya murume pane vanhu kana vana. Usaita sokuti wakauya kuzotonga murume. Kuroorana kuti mese muvake musha wenyu pamwe chete.

Varume vechiZimba dzidzai kuti kaviri pamwedzi utore mukadzi wako uende naye kuma Movie kana kurestorendi monotandara muriko vana vane mureri. Madzoka vana vavata ipa mukadzi wako TONGUE BATH umuite ahwe kuti ari Special. Kuitira hure risingakudi kana wagwara hakubatsiri chinhu. Dadisawo mukadzi/murume wako.

Vakadzi vemuDiaspora kukora wee. Munhu itawo muviri wakakodzerana nezvinoda murume wako. Kungogarodya kuita semombe yabva kusina mafuro hakusiko veduwee. Zvidya izvi ngazvirege kukwizana kana uchifamba. Munhu ane muviri kwawo ane GAP pakati pemakumbo. Zvokuti wapinda mu 4 WHEEL DRIVE mota yoderera kuratidza kuremegwa bodo. Ndezvaana mai Mujuru izvo. (Kana ivo vanohi vaingohurugwawo wani) Siyanai nzvo. Kukora kudya chete. hapana chimwee chikonzero. Ukaona mapikicha evanhu vaibva mu CONCENTRATION CAMP nokuonda kwavo wozoudzwa kuti vainyimwa zvokudya, ndipo unohwisisa kuti kukora kudya. hapana airamba akakora mu Concentration camp achiti nokutii akakora zvedzinza. Munhu ita muviri wakakodzera.

Munhu garooongorora vanhu vanotariswa nomurume/mukadzi wako kuti chii chaanotarisa pavari. Iwe kana wava nomuviri wemvuu, ukaona murume/mukadzi wako achitarisa vane muviri wemhene, chiziva kuti wakurisa. Ukasarahurigwa uchaita Diabetes.  Kana angotanga kuhura chete haacharegi. Ukamuregerera anotofunga kuti wakapusa.

Haa ndapedza ini. Chionai zvokuita.

Udzai vamwe!!!!











3 comments:

Anonymous said...

amai makakora

Anonymous said...

Muri right pakawanda pa analysis yenyu asi vechirume vakawanda vanozviita for many other readons like:
1. Partner haipo, inorwara kana irikumwedzi
2. Musikana wacho arikutondi challenger nekutondimisira magaro, mazamhu etc
3. Kutsvaga variety nekungokara kana waona mwana akabatana
4. Bad influence ye boys namablogs epainternet
5. Vachikuyemera vasikana vepanze

Zvinoitika iwe mukadzi wekumba kana kuti main partner yako uchitoida zvekupedzisira. Nduhwo upenyu asi vakawanda vakatsakatika nazvo

Mai E Chibwe said...

Saka apa tongotiwo isu tinofanirawo kuzviita nokuti ndihwo upenyu.

Kana murume asipo kana kuti asingadi kuvata neni
Kana umwewo murume akandichallenger nokundimisira chombo
Kana kuti ndichingotsvakawo Variety nekungokarawo kana ndaona murume akasvika
Kana murume iyo akandinyenga

Kutaura kwakadai hakutomboiti uye munhu anofunga kuti ari kuda kuhura nkuda kweVariety munhu anofanira kutakwa nemabwe kusvika afa.

Hazviiti kuti uhurire munhu waunoda. Kana wafunga zvokuvatana unonanga kumba wondovatana naye. kwete kumuhurira.

Asi ndinonyoregwa nevarume nevakadzi vakawanda vachiti vakahura neMISTAKE. Hazviiti kuhura nemistake.