Thursday 16 August 2012

Shamwari Dzechirume/chikadzi


Vashoma vanhu vanonyatsoziva kuti ushamwari hunobva pai. Chii chinoitisa kuti ukaona munhu ukataura naye mopedzisira mave shamwari? Ukanzi rondedzera kuti zvakafamba sei, unotadza kuzvirondedzera. Saka tikatarisa vanhu vanozviti ishamwari tinongobvuma zvavanoreva asi hatizivi kuti chii chinovabatanidza.

Kusaziva uku ndiko kunokonzera zvakawanda pavanhu vanodanana. Kana umwe wako akashamwaridzana noumwe munhu iwe ukasahwisisa kuti hushamwari hwavo hunobva pai, zvinokwanisa kukushusha pamoyo. Ukabvunza ukasawana mhinduro inohwisisika, uchatowedzera kushushikana.

Munhu wese ane shamwari dzake panguva imwe neimwe. Ukanyengana nomunhu nyenganai muchihwisisa kuti mese mune shamwari panguva iyoyo. Kana mukataurirana kuti munodanana uye muchirevesa, zvinoreva kuti upenyu hwenyu huchachinja.  Chokutanga iwe wega wongorora shamwari dzako wodzironga patsva wosvitsa shamwari yako itsva pamusoro pedzese dzimwe shamwari dzako.
Chechipiri kuudza shamwari dzako dzimwe kuti wava neshamwari itsva wovataridza vomuona votaura naye vachiziva kuti ndiani.  Iyewo anofanira kuta zvakadaro neshamwari dzake. Hazvifaniri kuti mapedza kutaurira shamwari, posara pane imwe shamwari yaunovanza kumunhu wawazvisarudzira kuti unomuda. Kana ukaona kuti pane shamwari yausingadi kuti umwe wako azive, zvibvunze kuti uri papi numunhu wawati unoda.  Kana pafoni pako pane munhu waunoti kana akafona iwe wotanga wabuda mumba kuti udavire foni, zvinoreva kuti mufungwa mako une CONFLICT yaunofanira kugadzirisa usati wanyatsodanana nomunhu wawati unoda.

INSURANCE:
Kune vakawanda vanoti paya achidanana nomunhu anotsvaka umwe munhu waanodanana naye kuti aite Insurance yokuti kana akarambwa nouyu onge ane umwe pedo. Munhu akadai akazikamwa mese muri vatatu munopedzirira marambana kana mune njere.  Kana musina njere, uchaona kuti vaviri ava vanoti uyu umwe ngaasarudze pakati pavo kuita sokuti imombe dziri paMARKET. Ndinombozviona kana mukomana ane vasikana vaviri unohwa umwe wacho oti mukomana asarudze. Kana wasarudzwa pakadai chitoziva kuti upenyu hwako hwava hwekuita SECOND CITIZEN kumukomana uyu nokuti watadza kufunga. Kana une njere tora twako uende. Mangwana acho tanga kuzvitsvakira mukomana ane unhu.

Chinotinetsa isu vakadzi ndechokusazvibata. Tinoda kuita sezvinoita vamwe. Kuda kuvata nomukomana wawaziva kwemwedzi miviri. Kutya kuti ukaramba kuvata naye anovata noumwe musikana. Kana achinovata noumwe musikana zvinoreva kuti haakudi saka iwe kuvata naye hazvikubatsiri chinhu.  uri kungozvichipisa chete.

FACEBOOK. 
Kune dzimwe shamwari dzisiri shamwari chaidzo. Sevanhu vaunosangana navo paFacebook vokuti kana ukabvunzwa kuti ndevepi hautombozivi. Vanhu ava vanhu vakasiyanasiyana asi dai waigara muSTREET imwe chete navo waishamwaridzana navo here? Haukwanisi kudavira mubvunzo uyu. Saka chinozokuita utaure navo zvinhu zvinokanganisa RELATIONSHIP yako nomukomana/musikana wako chii. Facebook inopopotedzana vanhu vakawanda nokuti umwe wako anenge ashaya kuti sei wava kutaura zvinhu zviri INTIMATE navamwe vanhu iye usingatauri naye zvakadaro asi ariye wako.

Foni
Kana muri mese ukaongorora zviito zvoumwe wako unokwanisa kuziva kuti munhu akaita sei. Anenge achiziva kuti shamwari dzinopokanisa vanhu saka kana akafonegwa muri mese akataura nomunhu iwe usamubvunza kuti ndiani awataura naye. Nyarara chete kusvika akuudza ega. Ukaona achiti akapedza kutaura odzokera panyaya dzamange munadzo kare asina kukuudza kuti ange achitaura nani, zvinoreva kuti pane shamwari dzimwe dzaasingadi kuti uzive. Iwe nyarara.

Iwewo ukazofonegwa ukasataura kuti ndiani uchaona kuti uya ambokunyararira anokasira kubvunza kuti ndiani awataura naye. Pakadai kana iye asingakuudzi iwe imbomira kumuudza nokuti pamwe hakuna kwamuri kuenda Uri kuita Investment pazvinhu zvisingashandi.  imbomira unyatse kuongorora.

Munhu asina zvaari kuvanza ega anokutaridza foni yake kuti uverenge maTEXT messages ake kubva kushamwari dzake. iwewo unomuratidza ako pasina akubvunza kuti Message yabvepi iyo.
Toti manyengana mava nevhiki imwe chete, iwe hausati waziva shamwari dzake dzese, ukaona iye achiti chero parira foni yako oda kuziva kuti ndiani, ziva kuti munhu uyu anoda zve CONTROL. Haakutirasiti zvachose. Munhu uya wokuti mukazoroorana anoti ukapinda mubhavhu osara achiverenga zviri pafoni yako. Ukanyoregwa tsamba unozosvika kumba yavhugwa kare yaverengwa. ukanonoka kumba unowana akakumirira pazhe, kwete kuti anotya kuti pamwe wakuvara asi kuti anoti wange uri kuchikomba. Usaroorana kana kudanana nomunhyu wakadai. Kazhinji akakura achiona vabereki vake vasingakudzani saka anofunga kuti ndizvo zvinoita vanhu vese.

Shamwari dzakare. 
Ukasangana neshamwari yako yausina kuona kwenguva mukambundikirana mumwe wako mutsva aripo, mozokwira bhazi yatova nyaya kwahi sei wamumbundikira. Dzira REACTION dzakadai kuti uzive kuti munhu uyu ndewekuroorana naye here kana kwete. Munhu asina Confidence yokuziva kuti unomuda haasi munhu wekupedza nguva naye.

Shamwari rume/kadzi
Kune vamwe vanhu vane shamwari dzechirume ivo vari vakadzi kana dzechikadzi ivo vari varume. Sezvandataura kuti hatinyatsi kuziva kuti sei uchida shamwari yakadaro,zvinogoneka kuita shamwari isiri werudzi gwako. Pakadai panokwanisa kushungurudza umwe wako nokusahwisisa kuti ushamwari hwenyu hunogumira papi. Ndinoona vamwe vasikana anopedzisira ave kungoti Bhudhi nhingi kushamwari yake. Ivo pakati pavo vane ushamwari hwabhudhi nasisi asi uya mukomana mutsva haachazivi kuti vanosvikepi. Panoita dambudziko. Kazhinji kana uchida kuchengetedza shamwari yako pane PROTOCOL dzinofanira kuhwisiswa.

Usati wada munhu imbobvunzawo shamwari dzako kuti dzinoti chii nazvo. Kana uri musikana une shamwarirume, imbodzibvunza kuti vanoti chii nenyaya yokuti wasangana nomukomana anokuda. Terera zvavanoreva. Pamwe umwe wavo anotokuda iye asi iwe unongofunga kuti ishamwari.  Kudanana nomunhu akatanga ari shamwari ndiko kudanana muchiziva zvamuri kuda zveshuwa. Saka kana pane anokuda pakati peshamwari dzako bheta kudana naye pane kutvaks mutsva.


  1. Usanyeya mukomana wako neshamwarikomana yako
  2. Usanyeya musikana wako neshamwarisikana yako. 
  3. Usavanza zvamataurirana neshamwari kumukomana/musikana
  4. Rega shamwari yako iitewo shamwari yemokomana/musikana wako.
  5. Kana shamwari yako ikakufonera rega ataure noumwe wako
  6. Mukasangana itai nyaya makasununguka mese. 
  7. Usawanza shamwarirume/kadzi.
  8. Usavhakasha kumba kwavo wega. 
  9. Usatengegwa zvinhu zvisingatsananguriki kuti sei zvatengwa. 
  10. Nyaya dzemaLIFT dzinonetsa kurondedzera. Gara uchiziva kuti panokwanisika kuita nyaya saka tsanangura usati wabvunzwa. 
  11. Usafunngira munhu zvausina EVIDENCE. 


Kana mada kusimbisa kudanana kwenyu, kana une shamwari dzapamoyo chero dziri rume kana kadzi bvunza dzese imwe neimwe kuti uri kufunga zvakanaka here. Uterere mataurire avo kuti vanorevesa here. Zvinosimbisa ushamwari hwenyu. Udzawo umwe wako andobvunza kuti azvihwire ega. Usamuudza zvawahwa iwe kusvika adzoka.
tese tinoda shamwari asi kune dzimwe shamwari dzinopokanisa vanhu. Zvikuri kana une shamwari isinawo mukomana kana musikana. Terera mataurire emunhu uhwisise kuti anofarira zvauri here kana kwete.

Udzai Vamwe!!!!

2 comments:

Anonymous said...

Maita basa Mai Chibwe,

ndinoziva hangu kuti post iyi ndeyakare asi i just recently discovered your blog.

inini ndine dambudziko nemurume wangu neshamwari yake yechisikana. ndakaona message mufone yake achimubvunza kuti aiitei, asi zita ranga riri rechikomana and i was not familiar with the name. ndakazoona massage yabviswa mufone manheru acho. i became suspicious ndikafona kunumber yacho ndikanzwa izwi riri rechikadzi.
i confronted murume wangu akati tingori shamwari, nothing else is going on.
i then contacted muskana wacho to get clarification nezve nature yeushamwari hwavo because ndaisanzwisisa why murume wangu was hiding hushamwari uhwu. we had a very short, civil conversation akanditi we are just friends, i see him as a brother, etc.

i asked murume wangu to stop communucating naye as it made me uncomfortable, but i later discovered he was on the fone naye manheru acho, apologising for kumufonera kwandanga ndaita.

ndakabva ndazvisiirawo ipapo as i had not much evidence. We have the same commute tiri vatatu naye musikana iyeye, and vanoshanda kusame area, for months vaionana on the bus and would only speak vese kana vaburuka inini ndapfuurira nebus.

they have since stopped communicating, as much as i can tell.
mubvunzo wangu ndewekuti zvinoita here kuti murume akaroora nemusikana arisingle vaite shamwari? uyezve nei murume wangu aivanza hushamwari hwacho? ndibatsireiwo, ndirikutadza kuita move on and start trusting him again.

Maita basa

Mai E Chibwe said...

Munhu wese wese akaroorana noumwe munhu akaita shamwari isina kuti tasa anoziva kuti hushamwari hwake nomunhu iyeye hahuna kuti tasa saka anokasira kuvanza nyaya yacho.

Chinonetsa ndechokuti tese varume nevakadzi tikaziva kuti umwe wedu aita nyaya pachivande tinokasirawo kutanga kupopota tisati tanyatsohwisisa kuti zviri kufamba sei.


Chakanaka ndechokuti pamunoroorana rongai nyaya yenyu kuti chii chamunoda kuti muite, mese mogara maziva kuti kuita shamwari isingazikamwi noumwe chinhu chakaipa.

Iwewo ukaziva kuti umwe wako ane shamwari, tora foni yako usarudze umwe munhukadzi waunowirirana naye, kuti aite zita rechirume. Madaro chigarofonerana naye muchitaura nyaya kwenguva.

Murume akakubvunza kuti ndiyani auri kutaura naye womuudza kuti ndi John shamwari yangu yandinoona paLunch kubasa.

Chiterera kuti anoti kudii. Rega apedze kutaura, iwe wozomubvunzawo kuti ko nhingi waunotaura naye pafoni yako wakawanepi number yake uye munoshamwaridzana pakudii.

Uchahwisisa kuti kupopota kwake kunowedzera nokuti anoziva kutio dai ariye ane shamwarikadzi aitova achihura nayo ndizvo achikufungira kuti unohura neshamwari yako. Zvinoreva kuti ari kutohura neshamwari iyi. Kana pasina zvaari kuita anofunga kuti iwe hapana zvauri kuitawo neshamwari yako.

Tese tinofunga kuti zvatiri kuita kana tawana chanzi ndizvo zvinoita vamwe kana vawana chanzi.