Monday 3 October 2016

Kubvuma kurhojewa musi wekutanga kudanana

Toda kumboongorora kuti zvinorevei kuti musi wawasangana nomukomana ndiwo musi waunobvuma kurhojana naye. Zvinokubatsira here kana kuti zvinokuchipisa?

_______________________________________
Mabvunzire ataita mubvunzo uyu ndeekuratidza kuti munhu watiri kubvunzira musikana. Vakomana vanowanzorhojewa nevamwe varume hatingatauri nezvavo pano. Saka nyaya chaiyo iri pazviito zvemusikana tichida kuhwisisa kuti zvingarevei kana akaonekwa achibvuma kurhojewa musi iwoyo waasangana nanyakurhoja wake.  Pano hatisi kutaura nyaya yokubatwa chibharo asi kukumbigwa zviri pachena iwe wobvisa wega bhurugwa wovhurira mukomana worhojewa musi wamasangana kana kuti pakusangana kwenyu kekutanga.

Ngatitange nokutarisa nyaya dzingakonzera munhu kusvika pakadai. totanga ne vasikana vemazuvano vanofamba nzendo refu.

1 Kufamba mese PUBLIC TRANSPORT:
Sokuti wakwira bhazi uchibva Jubheki uchienda kuZimbabwe. Wosangana nomukomana akanaka chose muhazi mogara mese motanga kuita nyaya. Iwe mukomana hauna, iyewo musikana haana, Mukutarisana mese munoona musi vanhu vakakodzera kudanana. Nyaya nokuwanda kwadzo munokwanisa kuburukira pamwe chete asi iwe uchine mufambo, kuzhe kwasviba. Uku wazivana nomukomana 18 hours. matombovata makatsamhirana mubhazi. Waona chose kuti mukomana anokuchiva muviri wako, uye angangova ari kutanga kuita rudo kwauri. Pamwe iwewo watombomubatabata muvete mubhazi, pamwe ambokutsamura pamakumo ukamurega aripo. Pamwe wamutsamira makumbo ukahwa chombo kumira mubhurugwa make ukafunga kuti ndiwe uri kufungwa.

Kana akakuudza zvine musoro zvokuti kwasviba, chivata wozoenda kwenyu mangwana, pakuvuma kuvata kummba kwake, zvinoreva here kuti unofanira kubvuma kuvata naye? Mhinduro chaiyo inoti bodo. Asi tichitarisa magarire emazuvano tinoona kuti anokwanisa kunge ane ROOM imwe chete pamba paanogara. Hazvirevi kuti vata naye nokuti wavata muROOM yake.  Asi kuti kujairirana kwamaita kubva kwese uko kwave kuda MANAGER anoziva kuti zvoitwa sei kuti mukomana uyu asafunga zvokukukwezvera rhoji. Nyaya haisi pamukomana saka ngatirege kuva nehanya nezvaanofunga asi kuti iwe musikana unofanira kudii pazviri.


2  Kupiwa LIFT mumota yemukomana:
Vasikana vakawandisa vanofamba nemota dzavakomana vavasingazivi kusvika pakutombobatwa nehope mumota iya. Mukomana otokumutsa kwahi tambomira pano, unoda kuenda kuchimbuzi here.

Unokwanisa kukwadzwa mota ku CAPE Town uchienda ku Bulawayo kana Harare. Inguva refu une munhu. Chero mukambokwidzawo vamwe uchaona kuti imi vaviri munojairirana uye munoudzana nyaya zhinji. Kana mazozvika kwamuri kuenda, nyaya zhinji ndedzokuti muridzi wemota anotanga asvika kwake. Anokwanisa kukupa zvokudya asati akuendesa kwenyu kana kunokukwidza bhazi rinoenda kwenyu. Panguva iyoyo yaunopinda mumba make anokwanisa kukukumbira kurhoja.

Pamwe matombotaudzana zvinoitisa zemo, pamwe matombopanana manhambha efoni dzenyu uye mataurirana kuti pamunodzokera muchada kusanganazve mofambidzane.  Nyaya dzavanhu dzinowanda

3 Kusanganiswa nesamwari. 
Toti une shamwari une mukomana waunotoziva. Mukomana uya woitawo shamwari isina musikana iwewo mukomana hauna. Mosangana muripo vana modakadzwa zuva rese. Ruvira mukomana uya mutsva ukoperekedza kwenyu. Kana uri mwana wechikori kana mushandi uchigara wega, zvinokwanisika kuti unomuti uya umbomwa tii ugodzokera hako.

Toti mataridzana rudo chose gwemusi wekutanga. Iwewo uri kuona kuti mukomana munhu akarurama pane zvawaona nhasi.  Kana akazogarisa apedza tii iye nokuti uri kumuwanzira nyaya, akakubatabata zvine rudo mukati zvaunongoona wega, zvinoita here kuti umubvisire bhurugwa akurhoje?

4 Vaimbozivana kare
Ko kana maimbozivana muri pwere mukangoerekana masangana mune nguva yokutaudzana, Wanei nyaya hadziperi, moyo bvuu kufara nokusangana kwawaita nomunhu uyu. Kutohwa kusununguka  chaizvo kunge wange unaye nguva yese yamanga musingatozivi kuti muri vapenyu here. Zvinoita here kuti chitima chamakamirira chikanonoka mukawedzera nyaya, kukazosviba mungarhojana here?
_____________________________
Masanganirane evanhu akasiyana siyana hatingamapedzi ese asi kungoti vanhu vanosangana vodanana zvisina hazvo kudzika asi wega unohwa kuti apa pangangoita rudo rukuru nomunhu wandasangana naye uyu. Uye paanokuudza kuti haana musikana uye ari kutotsvakawo musikana unokwanisa kuona kuti ari kutaura chokwadi.

Nyaya tatinoda kuzoongorora iyi ndeyokuti zvinoita here kuti murhojane musi iwoyo kana mangwa kana vhiki iyoyo kana inouya, tiri pakubvunzira kuti iwe uri kuda kuti mukomana uyu aite mukomana wako? Zvinoita here? Kurhojana naye kunowedzera here kana kuderedza kuti azoda kuita mukomana wako.

Ngatione pachivanhu zvinoitika pakati pevakdzi nevarume. Parudzi gwedu mukadzi anoonekwa somunhu anofanira kuzvidzivirira panyaya dzokuingoiswa iswa nevarume. Varumewo tingati vakomana vari kutsvaka musikana wekuroora, vanhu vane tsika dzakaipa zvokuti pamwe akafunga kuda kuziva kuti uri munhu anokwirika nyore here, anokwanisa kukukwezva kwezva kusvika aona paumire ozokusiya wakadaro oyu uri munhu kwaye nokuti waramba kuiswa. Zvoreva kuti iye kuisa ange asingatodi asi aida kuona paumire iwe.

Kana iye achikuTESITA kudai iwe ukafunga kuti zviri nani ndibvume kuti aondida, watozvikanganisira nyaya yako. Chero ange asingadi kuvata newe, kuti amboti bvisa bhurugwa agozoramba iwe watobvisa bhurugwa hazvichaiti. Vasikana vakawandisa vakavatwa navo nomukomana asingatodi kuvata navo. Kuva ipapo anotanga kufunga nezvekuti heee uri mhandara here, hee wakavata nevarume vangani hee uri nyore kukwira kureva kuti chero murume ada kuvata newe haanetseki.

Kusiyana kwevarume:
Kozoitazve murume anoti mava panyaya yokuvatana anoona kuti shuwa musikana uyu munhu andangosanganawo naye asi ndomuda. Anokwanisa kukubvunzurudza kuti unofungei, pamwe ombozama kuita jendirimani asi nokuti mavata muROOM imwe , zvonetsa kukurega uchivata hako hope. Iwewo kana uri munhu akatsvangamuka, hazviiti kuti ubatwe nehope iye asati atanga kuridza magwiriri akasimba. Unrnge uchitotya tozobatwa pakati peusiku.

Zvinokwanisika kuti murume akusiye wakadaro usiku hwese wozoti makuseni otanga kudembademba kuti muitire tsitsi dzokumubvisira bhurugwa. Kune vamwe vakazorhojewa ava mangwana vamosangana ne jendirimani aunoona wega kuti shuwa amokupa rukudzo usiku hwese.


Koitazve murume anototi dzawiri muchindigwana. Kungovhara mukova ototanga kutaura nezvokuti dai wavata pamubhedha naye kuti asagwadziwa mbabhu parupasa.

Koita umwe anokuudza kuti anokuda zvokuti wega unongoona kuti fungwa dzabva mumusoro dzave uko kukamusoro.

Siyano yevakadzi pachimiro:
Kuvanhukadzi, kana ukabvisira murume wawasangana naye musi iwoyo bhurugwa, hazviiti kuti akurhoje agopedza agozofunga kuti uri munhu akakodzera kuroora. Anotobva ipapo otora foni yake oenda pa WhatsApp otanga kutumisa shamwari dzake gwaro rokuti awana hure rakanaka zvokuti dhuu. Haaudzi mai vake and hazvanzi dzake kuti ava nomusikana waanoda kuroora. Kuti aroore musikana wakadai pane chimwe chinhu chikuru chinenga chazoitika. Chero musikana akabata mimba musi uyu, murume uyu anomira padare rasabhuku kuramba mimba iyoyo pasina DNA pamwana.

Awa ndiwo mafungire evarume mhomho yese. Asi vese varume ivavo mhomho yese iyi vakafunga chete bhurugwa remusikana uyu pane mukana wekumuisa,  vanotora nguva kudembademba kuti ribviswe vaise asi mumoyo mavo vachiziva kuti kungopedza kuisa nyaya yatopera. Kana avata kumba kwemurume akadai murume anotokumukira nepakati peusiku asi usafunga kuti mome youmai ichamuka ipapo.

Kune hando nhatu chete dzevanhukadzi dzinoonekwa pakadai. Uyo anoramba kuiswa zvachose, nouyo anobvuma kuiswa asiiwa akadaro, kozoitawo uyo anoramba asi wobatwa chibharo. Pano tati vechibharohavasi munyaya yedu nokuti ndevekumapurisa.

Pavaviri vedu ava uyo aramba zvachose ndiye anokwanisa kuzobvisigwa mombe youmai. Ifungwa dzavarume dzakasiyana nedzevakadzi pakufunga.

Kubvuma kuiswa hazvirevi kuti uri hure uye kuramba hazvirevi kuti hausi hure. Pae zvikonzero zvakawanda zvinokuita ubvume kana kuti urambe. Hakuna anokubvunza chikonzero chako kana wabvuma. Kana warama unokwanisa kubvunzwa asi nguva chaiyo yokutsanangura unenge usina. Kana murume amira chombo kazhinji haachina zheve dzokuterera zvaunotaura.

Zvinoita here?
Saka zvinoita here kuti tiwane vamwe vakasangana ndokurhojana musi umwe chete vakatozoroorana?

Sokuona kwangu ukamoramba kuiswa kwenguva refu, asi murume akazokwanisa kukuisa uchiita sokuramba asi uchitaridzawo kuti haasi kukubata chibharo. ozoti akuisa wanikwei uri mhandara. zvingakwanisika kuti afunge kuti kubvuma kwawaita kushaya Experience yokuramba. Pakadai kune varume vashoma vangakwabisa kukufungira kukuroora. Zvikuru kana ukabata mimba. Chinonetsa ndechokuti umhandara chinhu chinonetsa kutsanangurira murume. Kune varume vanofunga kuti kuva mhandara zvoreva kuti chombo hachipindi, kana kuti panofanira kubuda ropa.


________________________________________________
Tiri kuenderera mberi.

Fanai kumbotaurawo tihwe. Varumwewo tiudzei mafungire enyu pamusikana anobvuma musi wekutanga kusangana.

1 comment:

Anonymous said...

Regai nditange nekutaura kuti ndiri murume akaroora uye ndinopota ndichitsvaka vasikana vekurojana navo - chihure.

Kana musikana achidanana nemunhu akaroora, hukama uhu kunyange mukada kuhushanangura sei, ndehwechihure saka naizvozvo handione chakaipa kuti mukwirane chero musi wekutanga.

Asiwo, kana muri kudanana zviya zvekuti muri kugadzirira kuti pamwe muzoroorana, hazvinaki kuti mukwirane nemusi wekutanga. Zvakaipira kumurume zvese nekumukadzi. Kumurume zvinoratidzawo kureruka kwako zviya zvekuti chero mava muwanano ungangozohurawo. Kumusikana, ndokuti uri joki chairo. Zvoratidzazve kuti wese wawakadanana naye waipakurira poto iyi.