Saturday 16 June 2012

Nyaya yokubika nokusuka ndiro mumba

Ndiani anobika nokusuka ndiro mumba, murume kana mukadzi?

Unohwa vanhu vakuru vachitopopotedzana nenyaya iyi. Wobva wafunga kuti dzimba dzevamwe dzine madambudziko akawanda. Vanhu hwisisai kuti musha chinhu chikuru uye mhuri yese inogarapo saka tikatanga kupopotedzana tinoshungurudzana nyaya dzimwe hadzichanakidzi. Mutemo wemumba unogadziriswa pamunotanga kugara mese.

Kubika.
Murume nomukadzi vese vanogona kubika. Kuva murume hazvirevi kuti haugoni kubika. Kuva mukadzi hazvirevi kuti unogona kubika. Saka kuti ndiani anobika zvinobva pakuwirirana kwenyu muri vaviri. Haisi nyaya yekupopota. Kana murume achishanda mukadzi asingashandi, munokwanisa kuti mukadzi ave anobika. Kana mukadzi achishanda, murume asingashandi, munokwanisa kuti murume ave anobika. Kana mese muchishanda munokwanisa kubatsirana kubika.

Kozoti vamwe vanoti vatadza kutaura zvakanaka nomukadzi votora Bhaibheri voreva nhema kuti rinoti mukadzi ngaabike. Idzi inhema hadzo uye tese tinoziva kuti inhema. Bhaibheri rinoti mukadzi akapiwa basa rokubatsira murume wake pamusha. Hapana kutaugwa kuti abatsire pane zvipi saka chese chinoitwa nomurume kana achida kubatsigwa, mubatsire kana uri munhu anoda zveBhaibheri. Kuva musoro wemusha hazvirevi kuti hauchagoni kubika

Asizve tikatarisa kuti bopoto rinobva papi tinoona kuti kazhinji nyaya inenge isiri pakubika. Inenge yatobvawo kumwe kusina kugutswa munhu oita shungu ounza nyaya iyi pakupopota. Ini sokuona kwangu kana murume achiguta patafura uye pakuvatana, haambomiriri kuudzwa kuti afane kubika kana mukadzi achinonoka kubva kubasa. Iye ega ndiye anotofona kubvunza kuti ndofana kubikei?

Murume wese akachenjera anoziva kuti mukadzi kana akaneta tisati tanovata, zvinonetsa kugutswa pakunovata. Unohwa ega oti gara apo umbozorora chikafu chave pedo kuibva. Anoziva kuti kana tonovata achada kuti mukadzi amboitawo kamwe kabasa.

Hino varume vakakurira mudzimba dzokuti baba vange vari DICTATOR, vanofunga kuti mukadzi nomwana hazvina siyano saka unohwa murume mukuru achiudza mukadzi mukuru kuti "Haunditereri" zvichibva pakuti mukadzi akaneta saka anoda kuzororawo. Hino pakunovata ohi Vhura, akati bodo otukwa futi kwahi haunditereri. Akavhura anongohi mvooo, kocho, kocho, tsaaa, murume atopedza, iye oshaya kuti ko chandavhurira ipapa ndechipi. Ndipo panotangira kupopota apapo.

Ukahwa umwe wako otanga kupopota, iwe deredza hwi rako umubvunze kuti anoda tii here muwane mukana wekutaura nyaya iri kumuita apopote. Pakubika tii paya imba kambo kake kaanoda. Paunouya nayo rega ambomwa zvishoma usati wabvunza kuti zvaita sei.  Unohwa ukuudza dzimwe nyaya dzawange usina kumbofunga, terera nyaya dzese ugotaurawo kuti uchaitei nadzo. Wadaro ipa rutendo ugotaridzawo kuti wahwisisa. Kana monovata nyaya dzese dziya hadziuyi muimba yokuvata.

Kana makaneta mese endai munotenga machipisi mudye muvate, kwete kuda kubika.  Kana pari pakati pemwedzi Bika zvemazuva maviri uise mufiriji.

Kusuka Ndiro
Kusuka ndiro haisi nyaya yokuti kana uri munhu akasvinura ungatotukana noumwe wako pazviri. Ndiro hadzinetsi kusuka uye kana uchiona kuti murume/mukadzi wako haasi kudzisuka zvakanaka kana kuti nenguva yaunoda iwe, enda unotenga DISHWASHER uise mumba ndiro dzisukwe. Asi uchazoona kuti kumunhu ajaira zvokupopota kunyarara kunonetsa. Unohwa munhu otangazve kupopota kuti ko sei usina kubvisa ndiro mumuchini?

Kana mumba maita nyaya yokumhurana, zvinonetsa kuti uya anomhura umwe ahwisise kuti akachinja kambo kake kokumbura kaya akatanga kuimba kamwe kekukudza mumba munoita mufaro zvinhu zvese zvotanga kuchinjwa kuita zvaanoda. Kupopotedzana hachisi chinhu chokuti munokwanisa kuita mugogarazve nomufaro.

Hazviiti kuti iwe waswera pamba umwe wako obva kubasa owana ndiro dzakasviba dzaasiya mumba dzichingovapo dzakamumirira. Hazvisirizvo. Ukaona mukadzi/murume wako achidaro ndipo paunotanga kufunga kuti wakaroorana nomunhu asiriye. Zvadaro dzimwe nyaya dzese mumba hadzichanakidzi. Kuchinja munhu kuti aite zvaunoda kuri mumaoko ako iwe nemaitire aunoita mumba.

Batsira murume/ mukadzi wako pamabasa emumba, zvikuru kana muri kune imwe nyika kusina hama dzinokwanisa kubatsira kurera vana nokugadzira zvomumba. Kana zvichinyanyonetsa tsakai munu anozogadzira mumba kamwe pavhiki.

Hwisisa kuti basa remaSHIFT rinogwadza saka kana musi wausingashandi, fanoderedzawo basa romumba mese muwane zororo.


UDZAI VAMWE!!!!!!

No comments: