Our Species is Named after the Breast. Mammals. So these are very important things on many levels. Look after the breasts
Munhukadzi gara uchizivawo kuti mazamu
ako anotariswa nevarume kakawanda pazuva. Murume akaona munhukadzi anotarisa
pameso, otarisa pamazamu, otarisa magaro ozopedzisira nokutarisa makumbo. Adaro oenda hake kwaanoenda atozviudza kuti mukadzi waatarisa akanaka here kana kuti akashata. Murume wako anokutarisa zuva nezuva sezvaanoita vamwe vakadzi vemuraini.
Zvino kana iwe uri munhu wechidiki toti
unemakore ari pasi pe 45, (ndiri kuti 45 nokuti munhukadzi wekuAfrica
anokwanisa kuita mwana kusvika makore awa) zvinoreva kuti muupenyu hwako
uchineshungu dzokuonekwa uri munhu anoyevedza kutarisa. Mazamu anoonekwa kufuta pachifuva chero mutarisi
ari kure kure. Anobva atoziiva kuti uri munhukadzi, chero usina kupfeka
dhirezi musi uyu. Saka mazamu ndiyo IDENTITY yedu isu vakadzi nokuti hatizi
tese tine vhudzi rakareba uye vamwe havapfeki dhuku mazuvano.
Mazuvano kune mapfekero okuti mazamu
aite sokubudirira asi chinonetsa ndechokuti ukajaira kudaro unopedzisira wava
kuonekwa nevamwe vanhu somunhu ane mazamu akanaka asi murume wako anokuona
usina hembhe anoziva kuti mazamu ako haana kudaro. Panoo tinoda kuhwisisana panyaya yezvinoonekwa nomurume wako wemumba. Ndiye munhu akakosha kuvarume vese nokuti achakuona muviri wako upenyu hwako hwese.
Chokutanga kuziva ndechokuti munhukadzi
ngaasaita mazamu akarembera somuswe wemombe. Mazamu ngaaite kumira akatarisa
mberi seemhandara, minyatso yakatarisa mberi. Chinonetsa kudaro ndechokuti mazamu ane basa
rakawanda rinoti:
Kumwisa mwana mukaka
Kupa muridzi runako nokunyemudza vanoda
kunyenga
Kupa muridzi Balance pakufamba
Kupa muridzi zemo kana awanikwa
nomurume
Kutonhodza hana yemurume pakuvatana
Pakumwisa mwana apa ndipo paanoremegwa
nomukaka obva atanga kurembera otarisa pasi. Kune vamwe vanomwisa mwana gore rese saka
mukaka unenge uchirema urimo. Hazvina kuipa kumwisa mwana hazvo. Ona kuti mazamu haana kugara
akaremegwa nomukaka wemwana. Kana mukaka wakawandisa pota uchizvikama
uchitapudza. Chero mwana achiwana wakakwana. Kuno unokwanisa kunopa zvinherera
zvokuhosipitari mukaka. Ndofunga kunyika dzakawanda vanodaro chero munhu wacho
anouya nawo asina zvigwere. Kana wapedza kumwisa mwana chizamawo kugadziridza
mazamu ako.
Saka pano ndoda kumbotaura nezvokuchengetedza
mazamu nemamirire awo pachifuva chako. Chokutanga ndechokuti munhukadzi wese
wese anohwisisa zviitiko zvepanyika pano anozama kugara anoutano hwakakwana
mumba make. Ukatanga kugwara ukaita nguva yakareba uchigwara, watoisa mhuri
yese padambudziko guru. Mai vemba munhu akakosha ane mabasa akawanda
asingakwanisiki kuitwa noumwe munhu. Saka chokutanga kuziva kuchengetedza utano
hwemuviri wese.
Kana ukakoresa ukaita chidumbuzenene,
mazamu anonovata pamusoro pechidumbuzenene chako ichocho semabwe ari paruware
gwemutserendende. Hapana chinoonekwa nevarume chichiyevedza ipapo. Kana murume
wako wemumba haawani chakanaka ipapo. Ndipo paunozoona kuti mukadzi mukuru
anotanga adzima rambhi ozobvisa hembhe kuti murume wake asaona muviri wake.
Munhu akakoresa unoona kana mafambire
ake kuita sedhadha roda kudzidza kubhururuka, uku maoko akasimudzwa nemafuta
emuviri. Unomuhwa kufemereka ari kure kure uko. Ukagara pedo naye muchitima anenge
achingobudisa mweya vanhu vachinhuwigwa. Chifunga murume wake anoita 8 hours
pazuva naye. Anodii naye?
Kana ukaondesa, mazamu anosvava kuita
semufushwa wemadindindi. Chero murume anga achikudawo sei panosvika pamwe
pekuti anotadza kuhwisisa kuti munhu aita sei.
Vanhukadzi ngatidzidze kuona BMI yedu kuti iri papi. Kana yapfuura 25 kana kuti iri pasi pe 18, ziva kuti yaipa. Kana
mimba chaiyo unokwanisa kushipika kuibata nokuda kwekukoresa kana kuondesa.
Kana muviri wakanaka utano, mazamu
anoonekwa akatsetseka ganda rawo uye. Chinongozodiwapo kuti agwinyirire.
Zvinogwinyisa mazamu:
1 Kudhidha: kudhidha chinhu
chinokasirisa kugwinyisa mazamu asi asingaiti semasuru yemurume. Anongoita iya
inonzi TONING zvisinei nezera rako. Chero wava munhu mukuru zvinoita. Vakawanda
veduu havagarii pane madhidho saka zvinokwanisika kuvashomanana.
2 Kusundda madziro: Bvisa hembhe, womira pedo nomudhuri
mumba (70 cm or so) wobata madziro wotanga kusunda sokuti uri kuda kusunda
zvokuwisa. Ita 20 seconds uchisunda, wombomira wozunza zunza maoko. 10 seconds,
wotangazve kusunda. Ramba uchidaro kusvika zvotanga kugwadza. Chirega
wozoitazve imwe nguva. Ita izvi kaviri pazuva. Hazvitori nguva.
3 Simuka womira wakati twii, makumbo
akaparadzana zvishoma. Wadaro chizama
kuti magokora ako abatane kumusana. Usaita zvokumhanya mhanya. Ita zvishoma
kusvika wasvika paunogonera iwe. Ukahwa zvogwadzirira chidzoka kuno mberi.
Wombomira 5 seconds, woitazve. Unofanira kuita kagumi mangwanani, kagumi
manheri mazuva okutanga. Pota uchiwedzera kusvika pazvinotanga kugwadzirira.
4 Vhura ruoko gwerudyi. Woguisa pachifuva
gwakavhirika zvokutii kana umwe munhu achida kukupa chinhu anokwanisa kuchiisa
muruoko gwako. Wadaro chivhira gweruboshwewoguisa pane gwerudyi. Chitanga
kusundanidza maoko Tanga kusunda, woverenga kusvika ku15, wombomira wverenga
kusvika ku10, wotangazve kusvika waita ka 10. Wombomira wozoitazve manheru.
Kaviri pazuva.
5 Chimwezve chinoitisa mazamu aoneke
sokuti akanaka, mafambire ako. Kukubatsira kuwana mafambire akanaka, tora
chimwe chinhu chinorema sokuti mugomo wemvura kana kuti chimwe chinhu
chokudengezera. Ukaona munhu mukobvu, mutate, akadengezera chinhu, ukaona
mafambire ake, ukamuongora, ukahwisisa kuti ndiwo mafambiire aunofanira kuita
nguva dzese, unenge wahwisisa muviri wako zvese nemazamu.
Pakupedzisa
Vakadzi hatifambi mafambire echirume. Varume vanongofamba vakarengenyeka. Isu tinofamba mafambire edu akasiyana. Kusiyana kwawo ndikoko kwekuti famba somunhu akadengezera chimwe chinhu.
Vakadzi hatifambi mafambire echirume. Varume vanongofamba vakarengenyeka. Isu tinofamba mafambire edu akasiyana. Kusiyana kwawo ndikoko kwekuti famba somunhu akadengezera chimwe chinhu.
Jaira kumbofamba wakadengezera chimwe
chinhu. Wadaro chifunga mafambire aunoita wakadengezera chinhu ichi. Ndiwo
mafambire aunofanira kuita kana uchingofambawo zvako. Uchaona kuti chifuva chinenge
chakabudirira, magaro ane BALANCE, Mafudzi akamirawo zvakanaka.
Hwisisa basa remazamu pamunhukadzi. Simbisa mazamu agare ari iwo anotaura murumo usati wataura. Ukatarisa panosangana mukadzi ane mazamu akati twii nomurume ari kutsvaka, uchaona kuti murume uyu anozoona kumeso kwemukadzi aona mazamu kare, uye anoita nguva asingazivi zvokutaura, fungwa iri pamazamu chete. Ndosaka isu tine varume mudzimba tichikurudzigwa kusataridza mazamu kana tiri pane vanhu.
Iwe wega ukaona wasvika pakuti murume wako akaona mazamu ako asina kupfekedzwa anoita zemo, ziva kuti uri kuita maexercise andanyora awa zvakanaka. Chirega kuonekwa nevamwe varume mazamu. Murume wemumba munhu sevamwe varume. Gara wakamufungira zvingamufadza. Hakuna mukadzi asingadiwo kuhi akanaka nomurume wake saka ngatitarise nyaya iyi isinganetsi kuwedzeredza pairi.
Hakuna mushonga wekusimbisa mazamu unopfuura uyu.
Famba wakadengezera chinhu chausina kudengezera. Kwedu ku Africa vakadzi tine magaro nemazamu makuru. Zvinoreva kuti kana orembera anonyatsorembera. Chengetedza muviri wako. KUKORA handiko kuratidza utano. Unoita BP ne Diabetes ne Heart Condition, uye unokasira kurega kuvata nomurume. Vanhu vane utano vanovatana kupfuura makore 65 ekuberekwa.
Varume:
Varumewo taridzai vakadzi venyu kuti kuva munhu ane BMI yakanaka chinhu chakakosha. Isu basa redu nderokufidha varume vedu. Tinokura tichidzidziswa kuti ukafidha murume zvakanaka anokuda zvakawedzera. Asi pamwe tisu tinouraya varume vedu nokuvakodza semombe dzemafidha. Varume hwisisai kuti pane CONFLICT OF INTEREST ipapa. Chisimuka uitewo zvokusimbisa muviri.. Murume ane zidumbu bodo veduwe. Itawo murume akagwinya anotaridza utano. 95 kg yakawandisa pamunhu umwe chete.
BMI For Adults
Tarisa Chart re BMI iri wotarisa panosangana Weight yako ne Height yako. Kana BMI yako yakapfuura pa 25 kana kuti iri pasi pe 17, unofanira kukasira kuichinja idzokere pakati penhambha mbiri idzi. Kana murume/mukadzi wako achifarira kuti unge uri kuzhe kwenhambha idzi, ari kuda kuti ukasire kufa agowana umwe.
Zvimwezve panyaya iyi.
Whisisazve kuti kune varume vasingadi mukadzi akanyanyonaka, kwahi anozonyengwa nevamwe varume. Kana une murume akadai, uchaonazve kuti haadi kuti upfeke madhirezi akanaka. Ukatarisa varume vakaita sevakatanga chipositori, vaiva nefungwa dzakadai asi ivo vari reza chaidzo pakuda kuhura, vobva vazvipa mukana wekuhura pasina anobvunza nokuudza vanhu kuti murume anokwanisa kuita vakadzi vakawanda. Uhwu ugino hwe zvinoitika panyaya yokuvatana pakati pemukadzi nomurume.
Mukadzi anokwanisa kuiswa kana kagumi kana kupfuura pazuva. Murume ndiye ane dambudziko rokuti haakwanisi kungoramba achingomira chombo zuva rese. Mahure anokwanisa kuiswa nevarume vakawandisa pazuva rimwe chete. Izvi zvinoreva kuti kana mada zvokuwanza vanhu vokuvata navo, mukadzi ndiye anofanira kuva nevarume vaviri kana vatatu. murume hazvina zvazvinomubatsira kuita vakadzi vaviri panyaya yokuvatana nokuti haakwanisi kugutsa iyeye umwe chete.
Kana une murume anoda vakadzi vakawanda ziva mumoyo mako kuti ari kuda kukuuraya uri mwana mudiki. tarisazve mapositori uchaona kuti vakawanda vakaurayana nechigwere che HIV nezvimwe zvigwere, nengari yokusahwisisa. Mazuvano pavakazohwisisa nyaya idzi vakaita misangano vachikurudzirana kuderedza chihure, tinohwa kuti vafi vavo vakaitawo vashoma. Ngatitore chidzidzo ichi tikurudzirane kuderedza chihure vafi vedu vaite vashoma.
Iwe chengetedza utano hwako chete paunogona napo. kana une murume/mukadzi akasvinura uchaona kuti anowedzera kuda kuvata newe.
UDZAI VAMWE!!!!!!!!!!!!
kubatwa mazamu

12 comments:
thank u for this info
u are such a blessing. thank you..
Thank you all.
Thank you Mai Chibwe. While I totally agree with looking after our health I do not agree with the BMI table as a measure of ideal weight. If I weighed what the table says is the ideal weight, I will be mabhonzo chaiwo. Bone density also has to be taken into account.
the is no such thing as bone density that is so influential on your weight. If that were the case you would have brittle bones. High bone density is itself a worse problem.
People just eat too much and do no exercise and like to think they are healthy when they are not.
If your man/woman fancied you when you were a certain size, you best keeping that size.
do u exercise with braa
You exercise as how you feel comfortable but it probably better without.
Ko ndingaitesei kudzora nhengo yakurisa nekubara
Tanga waverenga apa wozobvunza zvasara.
http://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kusimbisa-masuru.html
Mai chibwe ini musikana wangu haasati abereka asi zamu rakatowa kare zvorevei izvi
Ini umwe wangu zamu rakatowa asati abereka zvorevei izvi
Kana uchiti zamu rakawa asi haasati abereka zvinoita sokuti uri kuti kana munhukadzi asina mwana mazamu anenge akadai ozodai kana ava nomwana. Aiwa, mazamu anongoita shape yaada pamunhu. Hazvinei nokuti ane mwana kana kuti haana. Chete Kuudzana nhema kunonakidzawo hako. Kana munhu ari mhandara kumakore ari pasi pe 15 mazamu kana ari madiki anomira asi akazokura anotarisa pasi. NDosaka tichipfeka ma BRA kusapota mazamu kuti aite seakamira.
Post a Comment