Mazuvano, vanhu vakawanda havachazivi hama dzavo dzese nokuda
kwezvokonzero zvakawanda zvinoti:
1 Kushaika
kwevanhu vakawanda mumhuri nokuda kwerufu gwakawedzera mumakore ma
kumi maviri
akapera.
2 Kuwedzera
kufambafamba kwevanhu vamwe vachinosvika kunzvimbo dzavasingazivi munhu ikoko.
3 Kubuda
munyika yedu vanhu vachienda kumbonogara kune dzimwe nyika. Vadaro vobvazve
vonogara kuneimwezve nyika, ikoko vachisangana navanhu vavasingazivi.
4 Kushaya munhu
anohi uyu ndiye mukuru wemhuri zvichireva kuti hapana anoziva ukama hwemhuri
pane dzimwe mhuri.
Zvadaro
unokwanisa kusangana nomukomana/musikana akanaka zvokuti modanana. Zvinohi
vanhu veukama vane ATTRACTION yeropa yakawedzera saka unobva waita rudo
gusingaiti. Ipapo motadza kubvunzana mutupo kana dzinza. Pakudanana kwenyu
zvakawanda zvinokwanisa kuitika. Munokisana, mobvisana hembhe moisana,
mobikisana mapoto, nezvimwe zvakawanda zvisingafanigwi kuitwa nehama. Kunozotiwo
panyaya dzokofonerana nevanhuvari kune dzimwe nyika, monokwanisa kuzoona kuti
mune nhambha dzefoni dzomunhu umwe wamunoziva mese, kuzoronda nyaya yenyu
munoona kuti pakati penyu mune ukama.
Zvinokwanisikazve
kuti munoenda kuPARTY mosangana nomunhu wamunoziva mese mohwisisa kuti mune
ukama. Kune mhuri iri kuno yakakokwa kumuchato wehama yavo. Vasvikako wanei
munhu waari kuchata naye ihama yavozve yavanga vasingatozivi kuti ari kuno. Ipapo
paitoti kana dai vari kumusha vaikokwa kumuchato wemukoma na kana wemusikana. Asi
kusazivana kwevanhu kwanga kwaita kuti vaviri ava vasangane, vadanane,
nokuronga yokuroorana, ipapo musikana ange atova nemimba. Hapana ange
abvunzurudza umwe kuti hama dzako dziri papi chaipo. Kungoona runako ndokuputswa
fungwa dzimwe.
Kozotiwo
kuChikaranga kwedu haukwanisi kuwana munhu waunoshaya ukama naye asi pano tiri
kutaura ukama hwepedo zvokuti unotoona kuti dai muri kumusha dai mega musina
kutombonyengana.
Saka kana
zvadai modii. Kana wasangana nehama, musingazivani mukadanana mukavata mese
zvokutodanana henyu zvisi zvechihure, panoitwa sei musi wamunoziva kuti muri
hama chaidzo. Tichitarisa paChikaranga tinoona kuti pane ukama hunokwanisa
kuchekwa kana zvinhu zvaipa nomutowo uyu. Pozoita ukama hunonetsa kucheka. Kare
kwaiva nemombe yaifa ichihi ndeye Chekaukama kureva kuti vakuru vaiudzana kuti
tinoziva hedu kuti tiri hama, asi hazvichaiti kurambidza vana kuroorana saka
ngatichingonyebera kuti tange tisiri hama asi tabatanidzwa navana.
Chekaukama
yaibvumidzwa kana:
Musikana ari
muzukuru mwana wemuzukuru mwana watete vababa vemukomana. Kureva kuti sekuru
vemukomana nambuya vemusikana ndivo hazvanzi. Zvikuru kana musikana ari
mwanasikana wemwanasikana watete ava. Chainyanyobvumidzwa ndechokuti kana paita
mazera mana kubva pakazvagwa hama idzo asi padzakazvagwa vana vadzo vasina
kuera mutupo umwe chete. Uyu mufananidzo wandapa wainge uri wemazera matatu
saka dare raigagwa iri nyaya yokuti vabereki vomusikana vazukuru vava kuitiswa
vana tezvara norudo gwevana.
Mazera
matatu ainetsa kugadzirisa zvokuti pamwe vaiti ukama ngahurambe hwakaita
zvahwange huri asi tongochinja IMMEDIATE FAMILY yevaroorani ava. Saka muzukuru uya ava muroora aikwanisa
kungoti akaona baba vomurume oramba achivati sekuru, pamwe kana ada oti baba.
Imwe nyaya
yaibvumidzwa ndeyokuti kana mukomana anyengana namainini mununguna wamai vake
asiri mwana wavabereki vamai vake, toti ndewekwababamukuru kana babamunini.
Zvaikwanisa kubvumidzwa kuti varoorane mwana namainini vake.
Zvisingabvumidzwi ndezvokuti vanhu vane mutupo umwe chete varoorane. Maitoudzwa kuti zvamaita
hazviiti chitokangamwai kuti mazviita motosiyana modaidzana noukama hwenyu kuti
hazvanzi kana kuti tete nomwana wehazvanzi.
Mazuvano
pamwe munozoziva matova nomwana. Kuti muchizvikangamwa kana kusiyana, hazviiti.
Kana kudanana nehama chiri chinhu chikuru chausingadi kuita, unofanira kuti
ukanyengana nomukomana/musikana, kasira kubvunza kwaanobva uye mutupo wake. Asi
chero ukadaro, unokwanisa kunge wasangana nomunhu akakurira mudhorobha asingazivi
zvinhu zvemhuri yake, Kozotizve vanhu vakakura vachiti vakambogara nemhuri iyi,
vobva vonogara neiyo, iri ngari yokuti vanga vasiiwa vari nherera. Vanhu
vakadai vanokwanisa kusanyatsorondedzegwa ukama hwavo nehama dzavo. Saka
unokwanisa hako kubvunza asi kana nyakubvunzwa asingazivi munoita nguva
muchidanana mozoziva masangana nomunhu anozviziva. Ipapo zvese zvisingafaniri
hama kuita matoita.
Pachirudzi
chedu hama hadzidanani, kana kuvatana kana kuroorana kuzhe kwekuti varamu. Tangoti timboitanga nyaya iyi nokuti yaitika kakawanda.
Kune vamwe vanotodanana vachiziva kuti ukama hwavo huri pedo. Kutobva munyika vachinogara kure kuitira kuti vadanane pasina anovabvunza. Havasivo vakadaro vatiri kutaura pano. Pano tiri kutaura nezvevanhu vanosangana vodanana vasingazivi kuti ihama. Zviri kuitika zvakawedzera uye kune vanotyiswa nokuziva kuti vari kuvata nehama. Ndosaka nyaya yasvika pano.
Munhu bvunza mutupo wewawada, wamai vake newake. mohwisisana. Kuziva kuti wakavata nehazvanzi yako yokwababamunini/babamukuru, muchiira mutipo umwe chete chinhu chinotyisa vanhu vane njere. Asi tinohwa kuti pane vamwe hazvanzi vakatobva muZimbabwe kundogara kuSouth Africa kuti varambe vachivatana asi vachitoziva kuti ihama dzapedo. Uhu umbwa zvokuti hapana zvokuzviita. Inyaya inotongwa nemhuri dzavo. Pamutemo hazvanzi haivatwi nayo. Hazvinei kuti ihanzanzi rudzii kana mubvandiripo wamai kana baba kana wemurume wamai, mukadzi wababa ihazvanzi yako haivatwi nayo.
Asi ngatihwisise kuti panyika pano pane vanhu vari CORRUPT vasina hanya nemitemo yeupenyu kana kuti yakabvepi. Vanotoona sokuti zvinovakonesa mufaro.
Udzai vamwe!!!
4 comments:
Ko zvekudanana mitupo yakafanana zvine basa here?
Mutupo wakapiwa vanhu kuti vazive hama dzavo munyika ine vanhu vane rufambo. Pamutemo ukaona munhu anoyevedza kutarisa ukatanga kutaura naye, chimwe chezvaunobvunza pokutanga mutupo. Ukaona mitupo yafanana wobvunzurudza kuona kuti mutupo wenyu unobva kumwe chete here. Sesu vaira Shumba. Pane Shumba yokwaChivi neyokwa Chirumhanzu. Vaira Moyo vane moyo mbiri. Zvichidaro asi imwe mitupo inongova imwe chete. Sokuti vaira Ngara kana Gumbo. Kana maudzana mutupo ikafanana kwese muri hama. Saka zvekudanana hazvifaniri kuitika.
ko nyaya yekuroorana mitupo yakafanana muchaibatawo riini. ndinodanana nemusikana ane mutupo mumwe neni. Vanhu varikunditi hazvitwe asi hapana anombondipa chikonzero chaicho chinobatika, ndodii
Munhu ane mutupo umwe chete newe ihazvanzi yako. Mutupo iSYSTEM yakaiswa kare kuti vanhu venyika yedu varege kuroorana mumhuri imwe chete. Ukatarisa vana vevanhu vokuPakistan uchaona kuti mukati mavo mune vanhu vakaremara kupfuura vanobva kune dzimwe nyika. Wotarisazve vanhu vanogara pazvisuwa zvidikidiki unowana pane vakaremara vakawanda. Zvese izvi zvinobva pakuroorana nehama.
VekuPakistan vanoroora hazvanzi dzavo vana vekwababamunini kana babamukuru vanozvagwa mudumbu rimwe nababa.
Kwedu kuZimbabwe munhu anongonzi hama yorudzi rumwe chete haabvumidzwi kudanana naye kana kuvata naye kana kuroorana naye. Hazviite. Dai wakatoudza vabereki vako kana vake vaitokurondedzera kuti hazviite zvachose. Hama dzeropa rimwe hadzivatwi nadzo.
Post a Comment