Mubvunzo uyu unobvunzwa nevakawanda chose zvikuru mazuvano,
iri ngari yokuti mumhuri dzakawanda vana vava kukura vasingahwisisi kuti rudo
chii nokuti ivo Havana kumboona rudo mumhuri dzavo. Ukaterera vanhu vachizama
kutsanangura kuti rudo chii, uchahwisisa kuti rudo chinhu chinonetsa
kutsanangura. Zvakafanana nokuti ukabvunza munhu agara muHarare kweguva
yakareba kuti anokwanisa here kutsanangura kuti Harare chii chacho, anokwanisa
kupedza zuva rese achitsanangura asi agosiyana noumwezve agaramo makore amwe
chetewo. Kana chinhu chiri chinhu chakakosha serudo, hazvikwanisiki
kuchitsanangura zvokuti vese vatereri vasare vasina mibvunzo. Chikuru
ndechokungohwisisa kuti Rudo guriko muvanhu zvakangofanana nokuti Harare iriko.
Kuti tisapedza mwedzi wese tichizama kutaura nyaya iyi pano
ndongoti RUDO kuhwa fungwa yako nomuviri wako zvichihwa zvakarerekera kukumbana
noumwe munhu kuti muve pamwe chete nguva dzese. Kana tichitarisa nyaya yerudo tinoona kuti
vanhu kare vakaongorora vakaona kuti rudo chinhu chinoti chero munhu ane njere
neasina njere vanoita zvakafanana kana vane rudo. Izvi zvakaitisa kuti vafunge
kuti rudo hagusi mufungwa chete. Tikatarisazve mabhuku akanyogwa kare akaita
seBhaibheri, tinoona kuti vanyori vaiona kuti rudo gunobata muviri wese
nezviito zvako zvese.
Luke 10:27
'Love the Lord your God with all your heart and with all your soul and with all your strength and with all your mind'
'Love the Lord your God with all your heart and with all your soul and with all your strength and with all your mind'
Deuteronomy
6:5
Love the LORD your God with all your heart and with all your soul and with all your strength.
Love the LORD your God with all your heart and with all your soul and with all your strength.
Tinoona kuti pane zvaunoshandisa
parudo zvinoti
- · moyo,
- · unhu
- · simba
- · fungwa
Moyo: Tinohwa
vane rudo vachikasira kutaurira wavanoda wacho kuti ari pamoyo pavo nguva
dzese. Isu tinoziva hedu kuti mumoyo mune ropa chete asi tozivazve kuti moyo
ndichochinhu chinoti ukachikuvadza muridzi anobva afa. Moyo wemunhu uri panoda
kuita pakati pemuviri. Kana uchiti unoda munhu nomoyo wese zvinoreva kuti munhu
uyu ndiye ari pakati pemuviri wako, nezvese zvinoitwa nomuviri wako
zvakarerekera pane zvinodiwa nomunhu waunoda.
Unhu; kuhi uri
munhu hunge une rudo gwekupa vamwe vanhu. Mubhaibhiri chinhu chinohi SOUL kuva
munhu mupenyu anofema ane muviri unoshanda (LIVING SOUL). Kana wafa hauchisiri munhu ane
unhu. Pano hatisi kureva UNHU sokuti munhu uyu ane unhu (This person is well
behaved) Tinoreva unhu hwekuti uri munhu. Iko kuva munhu kwako ikoko ndiko
kunohi ukushandise kuda vamwe vanhu.
Simba: Vanhu vese
vane samba rokuita chimwe chinhu. Zvinohi shandisa samba rako pakuda umwe
munhu. Rudo gwako ngaguve nesimba zvinoreva kuti gunoonekwa zviito zvago. Rudo
hachisi chinhu chaungaita chigova chakavanda iwe usingachizivi. Kana une rudo
gunoita samba pauri rokukukurudzira kuita zvinhu zvawange usingafungiri kuita.
Fungwa: Fungwa
dzako dzese dzinozara rudo chete. Unokwanisa kutorota rudo gwako nomunhu
waunoda. Unokwanisa kuti uri kumba, kubasa, kochikoro mubhazi, kana pese
paunoita nguva isina zvauri kushanda, fungwa yako inozara rudo gwemunhu
waunoda. Hapana zvimwe zvakawanda zvaunokwanisa kufunga zvisinei norudo nomunhu
waunoda. Unokwanisa kuti uchida mukomana unokwanisa kurota masikati chaiwo
zvokuti unokwanisa kugwadziwa moyo nokuti wava nenguva usina kuona mdiwa wako
kana kuhwa ihwi rake muzheve yako.
Tichibatanidza zvinhu zvina izvi tinoona kuti ndizvo
zvakavaka muviri wako wese kuti uzohi uri munhu. Saka apa zviri kuhi zvese zvinodiwa pakuva
norudo.
Kusiyana kwerudo:
Kune vanofunga kuti marudzi erudo akasiyana. Kunoti rudo
Gwemukadzi nomurume: gunohi gunofanira kuvapo kusvika vafa.
Hagufaniri kuperera pazhira muupenyu hwavo.
Gwemukomana nomusikana: gunoti vanokwanisa kurambana
vondonyengana nevamwevo, vovadazve, kusvika vawana wekuroorana naye.
Gwemwana nomubereki: Mwana anoda mubereki wake zvakadzika
kusvika azowanawo umwe munhu wekudanana naye obva adanana naye zvakati siyaneyi
nezvaaita mubereki.
Gwemubereki kumwana: Haguperi kusvika mubereki afa. Hazvinei
kuti mwana aitei, mubereki wake anopopota hake asi anongoda mwana wake.
Vabereki vakawanda vanoshaya hope kana mwana ari padambudziko, iri ngari
yorudo.
Ini kuona kwangu Rudo gumwe chete zvokuti kana uchida munhu
unomuda zvakafanana zvine zvinhu zvina
izvo zvatataura kare. Chinongozosiyana pakufambisa rudo gwenyu kuchengeta
mitemo youpenyu hwevanhu. Imwe yemitemo iyi inochengetedza upenyu hwedu tese.
Sokuti mutemo wekuti usavata nomwana wako kana mubereki
wako. Mutemo uyu mudiki pane RUDO. Unoda mubereki wako chose asi kudanana
kwenyu kunotevera mutemo zvkuti haumbofungi kuvata nababa kana mai vako. Rudo
guri pamusoro pezvokuvatana.
Poitazve mitemo youpenyu hwako nehama dzako dzakaita
sehazvanzi, tete, sekuru, babamunini, babamukuru, mainini, maiguru. Mitemo yese iyi iri pasi peRudo. Unovada hako
asi hazvinei nezvimwewo zviitiko zvepamusha.
Kozoti rudo gwemukadzi nomurume. Kudanana kwavo kunoita vade
kugara vese upenyu hwavo hwese asi vasiri hama. Pobva paita mitemo yokugarisana
kwemukadzi nomurume iri pasi perudo inoti vanovata vese, vanochengeta vana vavo
vese, vanogara pamusha wavo vese. Rudo guri pamusoro pezvese izvi.
Rudo gwakaita sokuti ukatora masvosve akawanda womaisa
mubhora (football) wosiya pane buri. Masvosve akagara mubhora iri
anongochengetedza magarire awo nemitemo yekugara kwemasvosve. Isuwo vanhu tiri
kukati merudo tichigara tichichengetedza mitemo youpenyu hwedu. Rudo ndigumwe chete gunoitwa nenhengo ia idzo
dzataongorora. Toti Harare rudo, iwe unokwanisa kugara kuHayi Firidzi, kana kuMt Pleasant, kana kuHighlands kana kuMbudzi. Pese pawagara une maonere ako ekuti Harare yakamira sei asi pane umwe ane MAP yese yeharare anoina sezvairi.
Rudo hagusi pachombo chomurume kana chitubu chomukadzi. Rudo
handi kuvatana. Rudo handi kukisana kana kubhabhadzirana magaro. Rudo handi
kutengerana zvinhu nokufonerana kana kunyorerana tunhu tunonaka kuverenga.
Bodo. Zvese izvi munoita nokuti mune rudo kare. Zvese izvi zvinogoneka kuitwa
nevasina rudo zvachose.
Murume anokwanisa chose kukupinza chombo agokurhoja zvaunofunga kuti zvinonaka asi asina kana rudo pauri. Apedza anotokuudza kuti chipheka ndikuendese kumba kwako.
Murume anokwanisa chose kukupinza chombo agokurhoja zvaunofunga kuti zvinonaka asi asina kana rudo pauri. Apedza anotokuudza kuti chipheka ndikuendese kumba kwako.
Mukadziwo anokwanisa chose kukuvhurira makumbo agokuitira
chikapa agodembademba muchipanana zvinonaka, asi adaro agokuudza kuti i ten
dollars.
Murume/mukadzi anokwanisa kukutengera zvinhu nokukubhadharira
rent asingambokudi
Mukadzi/murume anokwanisa kukufonera nokukurezva pafoni asi
rudo asina.
Saka tanga wahwisisa kuti rudo chiiko uye uyu munhu wawada
kupa rudo anokwanisawo here kukupa rudo.
Rudo tinodzidza nezvago munhuri dzedu kubva tiri vanana.
Kana munhu akakura asingapiwi rudo nevabereki vake zvinomunetsa kuzokwanisa
kupa umwe munhu rudo akura. Paya tichitarisa nyaya dzokunyengana tinoona kuti
vanhu vakawanda mazuvano vari kutarisa kuti munhu ane mari here. Zvokuti ane
rudo here zvava kure.
Tinoonazve kuti mumhuri dzakawanda vabereki vakapera
nechakapedza mbudzi vakasiira vanhu vana vekurera. Vana ava vanokura vasina
anopa rudo asi zvavo vachidya vachiguta nokupinda chikoro. Iwe kana wonyengana
navo chitanga waongorora kuti munyuu uyu anohwisisa zvokuti rudo iCOMMITTMENT
yeunhu hwake hwese here kana kuti anongoti ndezvechombo/chitubu.
Ukahwa mukomana/musikana ava kukuudza kuti anokuda, kumbira
kuti atsanangure kuti
- · Anoziva sei kuti anokuda
- · Chii chaanokudira
- · Zvakatanga sei kuti akude.
Usamupindura kusvika apedza kukutaurira. Zvadaro chiongorora
wea kuti nyaya yake yakarerekera pazvinhu zvina zviye here kana kuti pakuti
akakuona nemaziso iota ruchiva gwekuda kuvata newe nokuti une magaro, mazamu,
chiso, makumbo akanaka, kana kuti anofunga kuti une mari, mota, mombe,
bhizimisi, zvinoonekwa sokuti zvingamusimudzira muupenyu.
Rudo chinhu chakakosha chose mumba. Rudo haisi Phylosophy kana kuti IDEA, kana kuti THEORY.
Udzai
Vamwe!!!
3 comments:
I love you articles amai. Please may you write about interracial marriages and how they are percieved in Zimbabwe and what one must be prepared to face. Thank you...
Ndichawana nguva ndiinyore. Ine zvakawanda zvinodiwa kufungwa vanhu vasina kuroorana
Tinotenda mai chibwe
Post a Comment