Tuesday 7 July 2015

Mukadzi/murume kurwara kwenguva refu.

Pana nyaya yandati ndinyore nhasi yabva pakuti ndakadavira mubvunzo we mukudzi aitiswa mimba nomurunyana wake akazozviziva kuti ane mimba murume wake atoshaika. Nyaya yokuti akavata nomurunyana yakonzera vanoda kutaura kuti vati mukadzi akahura nehama yomurume, uye haana kushandisa kondomu. Saka vanotuka havanonoki kutuka.

Akazonditsanangurira mafambire akaita nyaya yake.

Murume akatanga kugwara neCancer, ndokusazvigamuchira zvakanaka somunhu ange asiri muchembere. Ndokuita makore mana murume achigwara zvokuvatana pasina, uku mukadzi ndewechidiki. Mununguna wemurume anogara kuAmerica ndokuvhakasha kuzoona mukoma. Ndokuwana mukoma ava kuchipatara asi upenyu chaihwo hwava ushoma.

Uku mukadzi nomurunyana wake voti vakabva kuchipatara mukadzi worondedzera nyaya dzese kuna babamunini. Saka vaiti kwasviba vogara vachiita nyaya kusvika maiguru vatsanangura kuti vava nemakore vasina kumbovata nomurume zvinova zvange zvichivagozherawo. Pakutaudzana apa pakaita kuchema kwamaiguru vachirondedzera nhamo dzavo. Babamunini ndokuita tsika yokuti maiguru vakachema ovambundikira kuvanyaradza.

Zvakafamba zvakadaro kwevhiki mbiri kusvika umwe musi maiguru vakakurigwa nezemo ndokuti pakuchema paya babamunini vovanyaradza, maiguru ndokuramba vakabata murunyana wavo ndokumukumbira kuvata navo. Murunyana ndokupedzisira avata namaiguru, ndokuzoramba vovata vese kwevhiki yokupedzisira yehorodhei yemurunyana. Mukoma akazoshaika babamunini ndokuita imwe vhiki yokuviga mukoma.

Maiguru vakazoona kuti vane mimba murunyana adzokera ku America. Maiguru ava munhu mudiki kumurunyana wavo. Vane makore 36 iye 39  murume anga apfuura 47. Iye ari kuti ndiye akadembera babamunini kuti agarisa asina murume uye chokwadi ndechokuti pakugwara kwemurume wake pese haana kumbohura. Zvakangomuwanawo nokuda kwekuterera kwababamunini uye kuratidza kuti vanohwisisa nyaya. Kozoti pakaenda hazvanzi yemurume ndokuvasiyapo vari vaviri, ndopo pakaita vataurirane zviri pamoyo chaizvo. Ndiyo nyaya yavo iyi.

Ini ndokubvunza mibvunzo inoti:
1 Mune vamwe vana here nomurume wako?
2 Munrunyana ane vana here?
3 Waudza muridzi wemima kuti ine mimba here?

Zvikahi:
Takaita mwanasikana murume asati agwara, mwana akashaika ari rusvava
Murunyana akarambana nomukadzi waange anaye mukadzi aita nyaya dzekufambafamba.
Handina kuudza murunyana nokuti ndizvo zvandiri kukumbira rubatsiro kwamuri kuti ndoita sei.
________________________________________________________________________________

Ndoda kutanga nokubvumirana nevakawanda kuti chihure chakaipisisa uye chinouraya. Ndotizve kuhura nehama chinhu chakawedzera kuipa. Ndotizve mazuvano usagara nhaka usina kuenda nomurunyana kana maiguru kana mbuya venhaka kundotesitwa. Ndotizve kana wada zvechihure chienda undotenga makondhomu.

Ndadaro ndinotizve vanhu vanoriritira vagwere mumusha kwenguva refu vanhu vanokwanisa kugara neSTRESS huru. zvakakodzera kuti kana une haa iri kuriritira imwe hama yako, pota uchindobatsi uye kuudza muriritiri kuti imbofambafamba uende kugwizi, kuhuni, kuchechi, kumunda, kana kutoita gwendo wombonoonawo dzimwe hama wowana wekudembera nhamo dzako.

Munhu agara pamusha umwe chete achiriritira mugwere anofunganya uye andyiwa moyo. Kushaya wekuita nyaya naye kuzhe kwemugwere hazvivaki fungwa. Unoona vamwe vatanga kudya zvokudya zvakawanda kusvika vava kuita mumhu mukuru iri nyaya yokuti inohi COMFORT EATING. Vamwezve zvanozvidya moyo kusvika awondoroka zvokuti imi munomuona munopedzisira moti ane EDZI izvo haana, kungoshaya wekudembera nhamo.

Zvino kana ari munhu wechidiki pasera, anoshayazve munhu wekuvata naye kureva kuti nhamo yake inowedzera. Munhu wese ane STRESS anofanira kuvatana noumwe munhu kuti ahwisise kuti anodiwa Zvino kana munhu wauri kuriritira ariye murume/mukadzi  wako zvinokunetsa. Tinoona vakawanda vachizohura muraini nokuda kwekungoda kupiwa rudo gwe COMFORT noumwe munhu anoita seanohwisisa nyaya yako mamirire airi.

Panyaya yatahwa apa maiguru vange vagara vasina anotova panenge pazvimba achiterera achibvunzawo kuti muri kuhwa sei. Ukuwo murunyana pamwe munhu ajairawo zvokuvata nevakadzi asi kuti ava kwedu ku Zimbabwe osada kuuya nefambi kumba kwaari kuvhakasha. Pamwe zvemafambi haatozvidiwo, hameno kuti murume akaita sei kana ari kwake. Asi pakuzohwisisa nhamo yamaiguru, ivo varu munhu mudiki paarizve kureva kuti vanotomuudza nyaya dzavo somunhu mukuru. Vanhu ava ihama nehama zve kureva kuti vanohwirana tsitsi. Mauguru vari kuti ndivo vakati murunyana ndibatsirewo iye ndokuvabatsira ndokupedzisira onakigwavo nazvo.

Mimba iyo ndiyo yazobata murume ange ava nemakore pasina mimba nokuda kweugwere. Apa tiri kuti STRESS yange iri pamunhu ndiyo yakonzera kuti asazvibata. Wekupopotera chaiye hapana. Kuti uchiriritira mugwere pamusha ziva kuti uri padambudziko rinokwanisa kukuitisa zvawange usingafaniri kuita.
Kutuka mugwere
Kugarochema kana wondovata
Kuitira mugwere utsinye asi iwe wange uchimbori munhu ane tsitsi
Kuita zvimwe zvinhu zvakawanda zvakaipa

Zvese izvi tinozviona mumapepa pavanhu vanoriritira vagwere kwenguva refu. Munhu anenge asiriye. Asi unozoonazve kana mugwere akafa, munhu uya anonyanyochemazve nokuti anenge ava kuona seakakanganisira mufi uya kusvika afa. Apa tiri kuona kuti maiguru vava kufunganya kuti vakahurira murume asati afa, asi tichiongorora zvechokwadi tinoona kuti murume ane asipo zvachose pamazuva aakazoshaika. Panga pasina mufungo wekuti achadzoka kumba akazoita murume wemunhu. Asi chirango chinoti mirira afe ugozotora hako murunyana.

Chinonetsa pazvinhu zvekuvatana ndechokuti kana waimbogarozviwana kungosiya kunonetsa. Zemo rine simba kupfuura njere, kuvanhu vakawanda. Ndizvo muchihwa ndichigarokurudzira kuti usasiyana newawakaroorana naye kuti umwe kumusha umwe kutaundhi, umwe zimbabwe umwe Joni, Bodo. garai muri pedo napedo musapinzana pamuedzo.

murume akazara uturu mumabhora ake anoita benzi chairo asi ange ari munhu kwaye. Mukadziwo anoita nguva hake asi zvinomuwirawo umwe musi.

Ukaona une hama iri kuriritira mugwere ppota uchindobatsira uchimbosarawo nomugwere woti imi mai imboendai kutaundhi munoona zviriko.

Ukaona munhu akasiiwa nomurume/mukadzi shamwaridzana naye awane wekudembera nhamo yokushaya rhoji mumba.

Ukaona munhu afigwa muvaraidze kuti asasvika pakufunga kuti ndiye aitira mufi utsinye.

Saka pamwana uyu todii? 
Ini sokuona kwangu maiguru ngavawane mukana wekuudza murunyana kuti vane mimba uye ndeyake nokuti hapana uwe akasvitsa urumepo. Kana murunyana ari munhu akavimbika anokwanisa kubatsira maiguru kurera mwana uyu. Zvokuti pauviri hwavo zvichafamba sei, zviri kwavari asi mwana ndewavo vese. Zvinokwanisika kuti varere mwana wavo pasina anohwisisa kuti chii chakatora nzwimbo. Asizve panyaya dzakadai vemhuri havatani kufungira chihure. Vanoti hama yedu yange ichigwara saka akakupa mimba ndiani. Mukadzi anokwanisa kungoramba achiti mwana ndewenyu, ivo vachikwanisawo kuona kufanana kwemwana vevamwe vemhuri.

Inyaya yaisafanira kuitika asi yakatoitika saka kupopota hakuchina zvakunobatsira  ngavachirera mwana zvakakodzera. Tongoti mununguna azvarira mukoma mwana.
_________________________________________________________________________________

wedzerai vanowedzera.

UDZAI VAMWE!!



No comments: