Zvokudya
Kune vakawanda vakabvunza kuti kune zvinhu here zvingadyiwa mudzimba medu zvinoitisa kuti mese mugare mune zemo. Tinotanga nyaya iyi nokutsanangura kuti mai vemba ndivo munhu anoitisa zvese zvinoitika mumba nokuda kwe ATTITUDE yavo mumba. Murume ndiye hake asi varume vakawanda vanopiwa zemo nevakadzi vavo. Kana mukadzi asina hanya nazvo murume anotanga achiratidza shungu opedzisira onotsvaka kumwe. Ndisu tinokonzera kuipa kwenyaya mumba.
Mukadzi akahwisisa kuti kutukana kwemumba kupokana kwefungwa chete kusinei nokusangana pakunovata, achaita upenyu huri nani. Murume akaita mazuva maviri asina kutapudwa urume, mukadzi wake aripo, asingagwari, uye asiri kumwedzi, asiri kubasa, zvoreva kuti mukadzi wake imbodza asingahwisisi kuti musha chii. Saka nyaya iyi verenga une zvokuda kuhwisisa kuti paya uchibika hakangamwi kuti mapedza kudya nyaya inonoperera pakupedzana zemo.
Mabhurosi
Zvese zvokudya zvinoti ma BERRY nema SEEDS zvinokonzera kuti uhwe
kuda. Kana uhiziva kune mabhurosi idzi garoti pazuva wodya kana TABLESPOON
imwe chete and mbiri pazuva. Zvinoita
kuti ugare hana yakapfava zvisina zvakawanda zvaunofunga zvivhundusa.
Kana mune nguva yamunoita basa yaunoziva kuti iyi ndiyo nguva
yerhoji, iti zviya kwa sara awa imwe chete kana maviri, wodya mabhurisi
dzako.
|
Broccoli,
Kwahi iyi Broccoli inofanira kudyiwa iri mbishi kana kuti yabikwa pa
STEAM kana kuti yabikwa mupoto. Hazvinei asi zama kusawanzisa kubika. Kwahi
ine Vitamin C yakawanda chose. Kwahi inowedzera kuhanya kweropa saka paya
waita zemo tinoziva kuti kunhu kwese kunohwikwa zemo kunokwikwisa neropa
rinenge ramhanyirako. Zvinohi gara uchidya muriwo uyu kana uchiuwana
kwaunogara ikoko.
|
Cloves
Zvi CLOVE izvi zvinowanikwa kuzvitoro zvema India. Zvinorapa zvigwere
zvakati wandei uye zvinomhanyisa ropa saka zvinohi tinofanira kupota
tichikanda zvinhu izvi muzvokudya zvedu. Kana ukahwa zino kana kuti ukaita
STOMACH ULCER, wedzera kudya Cloves.
Kana ukadya zvinhu izvi unowedzera simba pakuvatana uke zvinohi kunaka
kwacho kunowedzera iri ngari yokuti maNERVES anotairira BRAIN kuti pane
zvaitika, anowanza mashoko. Zvigwere
zvese zvechirume nezvechikadzi zvinorapika ne CLOVES.
Kunohizve kana ukaigaya ukazora nemafuta utunga hahukurumi kana
uchigara munyika ine utunga. (mosquito)
|
Maonde (FIGS)
Maonde awa anowanika kunyika dzakawanda chose uye haadhuri. Unokwanisa
kutosima muonde pamba pako uye unokasira kubereka. Kwedu kuZimbabwe kune
mionde inokura mudondo zvokuti ukaziva nguva yaanoibva unokwanisa kunomkohwa
womaomesa. Wogarodya. Unokwanisazve kutenga muszvitoro.
Maonde anohi anokonzera zemo kwese kuvakadzi nevarume, uye anowedzera
nguva yokuvatana kwenyu. Kana zviya mune Weekend yamunoziva kuti ndeyezvinhu
chete chete, sokuti kuri kutonhora kana kuti vana vaenda kwambuya mukasara
mega pamba, enda undotenga tenga zvidyiwa udye nomurume wako muwane nguva
inonaka.
|
Mavise (Watermelon)
Mavise
akanakira mese kuadya asi mhodzi dzao dzakakangwa kana kuti dovi remhodzi
dzao rakanakira varume chose. Kana wada kugara uri pakaoma nomurume anoshusha
panyaya dzechiuno, garomupa dovi remhodzi idzi.
Gara mumba
mune mavise chero pawamawanira modya mese. Uchaona kuti zvinowedzera
kunakidza kweupenyu. Vise rine 92% mvura chete asi 8% yasara iyo ine
zvinoitisa kuti kana uri munhukadzi uite zemo uye pakunorhojewa apo unorerusa
muviri wonatsonakigwa. Kumurume zvinomhanyisa ropa mowedzera mabasa
ekubatanidza miviri yenyu.
|
M idzi
ye Ginseng.
Kwava nemakore akawanda chose zvichizikamwa kuti midzi
iyi inokonzera kuti varume vawedzere kuda kuvata nevakazi vavo. Asi
zvakazozikamwawo kuti munhukadzi akatsenga midzi iyi anowdzera ropa kubhinzi
kwake zvakangofanana nezvinoita murume kuchombo, kureva kuti mese moda
zvakafanana. Ginseng inogadziriswa tea saka kana uchitenga zvitengwa tsvaka
midzi iyi, wopota uchikanda mumvura inopisa womwa nomurume wako mowedzera
upenyu mumuviri.
|
Saffron
Inorapa mudumbu uye inokuwanzira nyaya monovata. Inovava hayo asi
ukajaira kungoikanda muzvokudya zhakaita sekuti kana uchibika mupunga paya
wokana saffron yako imomo mupoto. Usawanza, bodo. Ingokanda shomashoma.
Kana wadazve nyika mumvura inovira wosiya zvichifazhaira kukanguva
toti maminitsi makumi maviri zvadaro womimina mvura iya kana yatonhira woisa
mubhodhoro woisa mufiriji. Kana wava kubika muriwo, nyama kana mupunga,
wopota uchidira imomo usingawanzi. Saffron inodhura asi inowanikwa
mumasupamaketi.
|
Ginger
Ginger
inowanikwa kwese kwese mazuvano. Inohi
inorapa zvigwere zvakawanda saka unofanira kungogarawo uchiiyeuka muzvokudya
zvako asi inowedzerawo zemo saka usaikangamwa. Vakawanda vanoishandisa pakubika
asi kune vamwe vanongotsenga yakadaro zvichibva pakuijaira.
Kune
vanobva kunyika dzimwe vanoiti vanofanira kuidya mazuva ese.
|
Pomegranate
Zvinohi
kudya ma Pomegranate awa kunowedzera kumira kwechombo chomurume kana awana
mukana wekupiwa zemo nomukadzi. As
chenjerai kuti muchero uyu une shuga yakawandisa saka modya zvishoma sokuti
munhu umwe chete odya rimwe chete pazuva.
Kana uchiziva kuti kumba kwakanaka wofanodya kwava kuma 4 masikati
kusvika kuma 6.
Muchero
uyu unowanikwa mumasupemaketi asi kwedu kumusha unokwa nisa kusima muti wacho.
Haunetsi kuchengeta nokuti haudi mvura yakawanda asi unononoka kubereka.
Jaira
kugarodya muchero uyi nomurume wako. Kana murume ari munhu uya asingadi
zvemuchero, tenga DRINK yacho umupe kusvika ajaira kuimwa. Musi waaimwa
wochimuudza chaitisa kuti vatano iwedzere kunaka.
|
Chokupedzisira zvinhu zvinowanikwa mudzimba dzakawanda
zvinoti
Mazai,
Hanyanisi
Garlic
Mhiripiri
Zvese izvi zvinowedzera kumhanya kweropa saka dai
wambozama kuzviwedzera mukubika kwako uye kusawanzisa kubika kwacho. Kana
uchibika usabika kusvika zvokudya zvaiva kusvika pakusaonekwa kuti chii
chacho chabikwa. Zvinouraya mavhitamini akawanda izvozvo, mopedzisira
mungodya zvokudya zvisina chinovaka muviri.
|
Kana uchibika zvokudya mumba, jaira kufunga nevara rinoti BALANCE. zvokudya zvikawandisa zvorudzi rumwe chete unenge wakanganisa BALANCE. munhu anoutano anofanirawo kakwanisa kuvatana nomurume/mukadzi wake zvakakodzera. Hazviiti kuti utore munhu agara asingafariri kuvata newe womuchinja nekumupa zvokudya zvinowedzera zemo.
Zemo rinoitiswa nezvaunofunga kuita noumwe munhu. zvokudya zvinongowedzera zemo range riripo nechekare. Iwe ndiwe unotanga kufunga zvokuita nomurume wako. Kana wafunga fungwa dzakanaka zemo rouya. Kana wafunga fungwa dzakaipa, zemo hariuyi. Asi munhu anemurume mumba anofanira kuhwisisa kuti mumba mune mabasa akabata musha. Rimwe remabasa awa kuchengetana panyaya dzokurhojana murume nomukadzi. Ngatisanyeberana kuti musha usina rhoji musha une mufaro.
Kana wahwisisa ipapo chironga nyaya yokuti unokwezva sei murume, mukadzi wako kubva musi wamuroorana kusvika musi unofa umwe wenyu.
Kana usina wekuita naye zemo hazvirevi kuti womborega kudya kunobatsira muviri. kune vakawanda vanoshamwaridzana nemaoko avo kuti muviri ugare uchibviswa TENSION inouya kana fungwa dzichigarofunga kurhojewa asi murume/mukadzi pasina. Maoko anongoshandawo zvinogutsa. Hakuna asingazivi kuti zvinoitwa sei.
Zvkudya zvinowedzera simba rekumira kwechombo. Kana une
murume mumba wana zvimwe zvezvokudya izvi upote uchiisa muzvokudya zvemurume
wako nezvakowo iwe. Uchaona kuti murume wako chero ava munhu mukuru haanetseki
pakumira chombo, uyezve haawanzi kuita zvigwere zvevarume. Zvimwe zveizvi
zvinoshandawo pakuwedzera kugadzigwa kwemhodzi dzeurume zvokuti pamwe kana muri
kunetseka kuita mimba, zvinokwanisika kuti muzame kuwedzra kugadzigwa kwemhodzi
dzemurume.
1. Blue berries
|
2. Ginger
|
3.
Ashwagandha Extract
|
4.
Cistanche Bark
|
5.
Schizandra Berries
|
6.
Yohimbe
|
7.
Maca
|
8.
Horny Goat Weed
|
9.
Ginseng
|
10.
Ginkgo Biloba
|
11.
Cindium
|
12.
Catuaba Bark
|
13.
Guarana
|
14.
Tribulus Terrestris
|
15.
Tongkat Ali
|
16.
Mucuna Pruriens Extract
|
17.
Cherries
|
18.
Bananas
|
19.
Raw onions
|
20.
Pomegranate
|
21.
Cloves
|
22.
Green tea
|
23.
Pumpkins
|
24. Water melons
|
25.
Pumpkin seeds
|
26.
peanuts
|
27.
spinach
|
28.
|
Mushonga mukuru unodiwa zuva nezuva kuwana zvokudya zvine
MAGNESIUM
Udzai vamwe !!!!!!!
6 comments:
Mai Chibwe, masiya a couple of foods dzinodyiwa pachivanhu chedu, which most girls vanoudzwa kupa murume pavanoroorwa -mutetenerwa (dried and salted nuts), maputi, ma avocados, dovi
Ndatenda chose. Dai marega zvinhu zvine munyu. Munyu uri kuuraya vanhu vakawandisa vari vanana nenyaya ye BP. Munyu unokwidza BP zvikuru kuvanhu vava kumakore anopfuura 30. Siyanai nozvokudya zvine munyu.
zvidyiwa zvizhinji zvasuggestiwa apa hazviwanike muno muafrica,ko hakunawo here miti kana midzi ingadyiwa kubatsira bonde
Nhai kanonzi maca root kanowanikwa kuZimbabwe here
Thx nedzidziso
Tatenda nedzidziso inovaka kudai
Post a Comment