Wednesday 13 December 2017

Bhinzi ne G-Spot zvakamira sei?

Kubatsira nyaya verenga pakahi "Mukadzi kuzvidzidzisa kutunda pakurhojana"

Mubvunzo uri pano wauya ndikaona kuti mhinduro yakarebesa kuisa pa Mibvunzo Nenhinduro 13 patiri mazuvano apo, saka ndaisa pano. 

"Ndiri murume akachangobva kuwana. Ndoda kubvunza musiyano uri pakati pe bhinzi ne G spot. ndoda kuziva musiyano wazvo zvichibva pazvinowanikwa munhengo yemakadzi uye mashandisirwo asvinofanirwa kuita nemurume pakurarana. Ndisingazivi kuti zvese zvingashandiswa panguwa yekabatana here kana kuti pane chinoshanda zvakanyanaya panguwa yekuti chombo chababa chapinda mukati. Uye ndingazvishandisa sei semurume zvingafadza mukadzi wangu ? "

Kana tikavanzarika murume nomukadzi manhede, toti uyu apa uyu apa vasina kupfeka, tinoona kuti pane chombo chomurume ndipo pane bhinzi yomukadzi. Kusiyana kwesaizi chete. Bhinzi yakavhagwa nechiganda chakaivhara. Chombo chine gandawo rakavhara musoro kana murume asina kurichekesa. 

Kana murume akaita zemo chombo chinomira zvakagwinya kuti chikwanise kupinza mumukadzi. Chikamira nguva yakati kuti, chinosinira oiri yakatsetseka chose inosvedza kuibata pamumwe. Inoitigwa kuti chombo chisasviika pakuisana.

Kana mukadzi ane zemo bhinzi inomira, pamberi pese panozvimbirira, Mukati munonyorova kuti pakupinzwa chombo mukadzi nemurume vasasvuuka.

Pane chitubu chemukadzi panopinzwa chombo ndipo pakangofanana nepane chihomwe chemabhora emurume asi kungoti zvakasina pazviri nema CENTIMETER mashomanana. 

Kubva paburi retsvina kusvika paburi rechitubu chomukadzi asina kumbozvara inenge iri pa 4cm. Kana wazvara inoti rebei kusvika kuma 5 cm

Murumewo kubva ba buru retsvina kusvika pachihomwe chemabhora anokwanisa kuita 6cm kana kuti pfuurei. Ndiyo siyano yacho.

Ko G spot iripi?
Kubva panzhinzi tiri paya pamuzvinabhinzi avete nemanhede akasimudzira mabvi isu tichitarisa nokuno kwatiri kuona zvese. Bhinzi ine midzi miviri inodzika mumuviri wemukadzi yakatanyanga buru rechitubu rinopinda chombo. Umwe mudzi uku kuruboshwe umwe kurudyi . 

Zvadaro ukapinza chigumwe mumukadzi ane zemo akavata nemanhede kudaro ukatsvanzvadzira kumadziro ekumusoro (ceiling) patingati ndipo panopatsana mudzi webhinzi, ipapo pane bhundu riripo rinokura nokuzvimba kana mukadzi ane zemo. Ndipo panohi G-Spot ipapo.

Pakuisana kwenyu pane maitire anoita kuti chombo chikwanise kugofa kana kukwizirira ipapo panzwimbo iyoyo zvinova zvinowedzera chose kunaka kwekuisana. Kana mukadzi ari pamusoro pemurume zviri nyore kukwanisa kuti chombo chigofepo pa G-Spot. Kana mukadzi achiiswa akafongora zvinokwanisa kuita nyore zvichibva nemafongorero aakaita ipapo.

Kana mukadzi akavata nedivi, akasimudzira gumbo, nokukotamira,  murume ari kumashure zviri nyore kugofapa G spot. Koitazve mamwe maitire aanoziva iye mukadzi kuti ndikadai murume anokwanisa kugofa pa G-spot.

Kugofiwa kana kukwiziwa pa G-spot kunokonzera mukadzi kukasira kuita Orgasm zvichibva nokuti munhu anofarira kuiswa zvakadii.

Mubvunzo wati ndechipi chinoshanda zvakanyanya bhinzi kana G spot kana muchiisana. Mubvunzo uyu ndiwo hawo asi ngatitange nokuhwisisa kuti G-Spot iri mukati, bhinzi iri kuzhe asizve G Spot ndipo panopatsana mudzi webhinzi kureva kuti ibhinzi kana tichiitarisa kubva nemukati. Kana tichifamba muTUNNEL inohi chitubu mukadzi akaita manhede toona bundu racho riri mudenga.  Saka mubvunzo haukwanisi kuti tipatsanure zvinhu izvi zviite zviviri nokuti chinhu chimwe chete.

Manerves anoita mukadzi anakigwe akanosangana nokuita fundo rinohi bhinzi kuno kuzhe asi anodzika nemidzi kuti pakuisana kugofagofa kwechombo kunakire mukadzi.

Zvokuita:
Tauriranai mugaroisana zvinoita kuti mukadzi agofiwe nechomo paG-Spot asi murume wega wega ane mukadzi ngaashamwaridzane nebhinzi yemukadzi wake. Vamwe vakadzi vari SENSITIVE saka murume ngaazive kuti mukadzi wake pokubata ndepapi.
Hwisisazve kuti kuti chombo chigofe papi zvapo zvinobva nezvimwe zvinhu zvakasiyana pavanhukadzi nevanhurume zvinoti :
1.     Saizi yemagaro
2.     Saizi yechombo chimire
3.     Kukora kwechombo
4.     Maitire amuri kuita
5.     Zemo rine mukadzi panguva iyoyo.

Kune vakadzi vasingatani kunyorova, zvoreva kuti pamberi pazvimbirirawo G spot yave bundu mukati. Koita vakadzi vasingakasiri kunyorova. Murume anombotambawo nebhinzi achireva mukadzi wake. Kumwiwa minyatso kana kunanzwa bhinzi kunokasirisa kunyorova. Mukadziwo kubatabata chombo chomurume kana kuchisveta kunowedzera zemo.

Kuisana ndekwenyu mese. Kana mada zvokuisana chiregai zvokusvoda. Uchasvodei iwe watobvisa zvipfeko. Kana murume achikubatabata vhura makumbo anatse kubata. Pota uchimuudza zvkuita sezvaunoita asipo uri wega zvaunoziva kuti zvinonaka. Dzidzisa murume munakirane.

Kana mokadzi asina kunyorova imbomira kupinza, wana zvimwe zvokuita naye. Kana anyorova ukapinza chigumwe wega unohwa kuti panhu poda chinhu chapo apa.

Jaidza mukadzi kukukwira nokuti kana ari pamusoro unoona achigonya kuti chombo chigofe paanoziva kuti panonaka. Uchaonazve kuti haawanzi kuda kuti chombo chese chipinde mukati, iri nyaya yokuti mukatikati chinenga chapfuura pane mudzi webhinzi chava mberi. Asi mukadzi anoziva kana murume ava kuda kudiridzira ndipo pokusimudzira chiuno chombo chese chopinda. Hapana anokuti simudza wega unongoziva kuti  zvinhu zvangu zvava kutouya, murume kwii, chiuno simu, murume otobvunda aripo. Iwe wototsinzina masiso kugovana nguva yakanaka nomurume wako.

Poitazve imwe nyaya yebhinzi
Vakaita research vanoti ivo kota (25%) yevanhukadzi vese mupasi rese vanowana zviri nyore kutunda pakuiswa nomurume, kutunda (orgasm) kuchingobva pakunakigwa nokuiswa. Koitazve imwe kota (25%) vasingakwanisi zvachose kutunda kubva pakupinzwa chombo chete.  Vamwe ava vasara 50% vanoti pano akwanisa nhasi, mangwana atadza, kungosiyana nezvaari kuita musi iwoyo. 

Vaongorori vakaongorora makore akawanda uye pavakadzi vakawandisa vachitsvaka chose kuti siyano iri papi inokonzera kuti umwe agarotunda umwe atadze. Zvakazoonekwa kuti kusiyana kuri pakuti kana chombo chiri mukati murume achikoira chombo chichigofagofa mukati chinogwinha nyama dziri pedo nebhinzi zvinova zvinonakira mukadzi. 

Hino maNERVES aya akanoungana pabhinzi anodavirirawo kugwinha gwinha kuya mukadzi otunda. Saka vaya vanonetseka kutunda kwahi zvinoitiswa nekutarangana kwakaita kubva pabhinzi uchidzira zasi kuzvika panotangira buru rechitubu. 

1 Kana kutarangana kwapo kukava pasi pe 3 cm (25% yevakanhukadzi) unokwanisa kukasira kutundiswa nokukoigwa nomurume pasina chimwe chiri kuitwa. Ndivo vaya vanzi pese pese paaiswa anowanzotundiswa nechombo chete. 

2 Kana kutarangana kukapfuura 3 cm,unokwanisa kuti umwe musi wotunda umwe musi bodo.

3 Kana kutarangana kukazotiwo kwapfuura kuma 2.5cm zvonetsa kutundiswa nechombo chete.  

Saka kana uri uya anonetseka unofanira kuti uku murume ari kukupa chombo nomoyo wese uku iwewo uri kuzvikwizirira bhinzi yako kana kuti iye murume ari kutama nayo achikukoira futi. Asi mhomho yedu yese zviri nano kutanga tamborezvana tozopinzana chombo zemo rava mumuviri wese havi yokuda kuiswa isisakwanisi kuiginowa. 

Hwisisaizve kuti mudzimba dzinoisanwa zvinogutsa hamuna hasha kana bopoto. Mumba kakareruka kugara. 

Mai vemba: usagara nomurume usingazivi kuti chombo chake chiripapi uye chinobatwa sei, chinofarira zvipi uye chinoshandiswa newe sei. Wakavinga chombo. Zvimwe zvese zvaivako kumusha kwako. 

Baba Vemba: Usagara nomukadzi usingazivi kuti bhinzi yake iripapi uye inobatwa sei, inofarira zvipi uye inoshandiswa sei. Mukadzi wako akakuunzira bhinzi yake kuti uifarire ukovata naye. Ane zvimwe zvakato wanda, mazamu, magaro, zvidya, zvese izvoz nazvo. Jairazvo kugumbatira mukadzi wako zuva nezuva aswedere pedo newe nomoyo wako.  Kana muvete gubatira mukadzi wako. jaira kumuzevezera zvaunoda muzheve chaimo 

Ndiyo nyaya nebhinzi nomudzi wayo iyi. Tikawana zvimwe tichawedzera. 


Udzai Vamwe. 




Kubva pamusoro pechitube kusvika pazasi pe bhinzi, kana kutarangana kwazvo kukapfuura 2.5cm zvoreva kuti kutunda kwemukadzi hakukwanisi , kana kuti kunonetsa kuitiswa nokukoigwa nechombo chete. Zvoda kuwedzera sokuti uku une chombo mukati uku uri kukwiziwa bhinzi. Saka wanai maitire anobvumidza kuita zvese. 

Kana usi murume, pima mukadzi wako uhwisise kuti akamira sei zasi kuitira kuti uzive kuti womuwedzerawo kunakigwa sei. 

2.5 CM ikangopfuura kutarangana kwacho hwisisa kuti zvinomunetsa, nokuda kwekuti chombo hachikwizi mudzi webhinzi kana chiri mukati make. 

5 comments:

Anonymous said...

Ahh! Kudzidza hakuperi zvechokwadi. Tinotenda nedzidziso yenyu.


Ndoda kubvunzawo mibvunzo inoti
1 Ko size ye bhinzi ine chokuita nokunakirwa kwemukadzi here?
2 Inofanirwa kukura sei kana iri normal?

Mai E Chibwe said...

Saizi yebhinzi hainei nokunakigwa kwemuridzi. Chine basa maNERVES aripo kuti akawanda sei. Zvinonzi ma NERVES aripo akawanda chose kupfuura ma NERVES are pamusoro wechombo chomurume (five times) asi umwe noumwe and nhamba yake yakasiyana neyoumwe saka vamwe vane akawanda vamwe mashoma. Saka kunakigwa kwavo kwakasiyana asi vakawanda vanonakigwa. Saizi yabhinzi haina basa nazvo.
Pane zvinhu zviviri zvinowedzera kunakigwa pabhinzi
1 Ma NERVES kuwanda kwawo
2 Kuti bhinzi iri pedo zvakadii nepanopinda chombo. Kana iri kure kupfuura 3.5 CM kunaka kunoshomeka.

Kukura kwayo kunosiyana pavanhu asi kana yamira inoreba hafu ye CENTIMETER kusvika ku 2 CM zvichibva nokuti ndeyani. Vamwewo vashoma vanopfuura 3 CM.

Anonymous said...

Ko wangu mudzimai haatombotundi kunyangwe ndikamusveta bhinzi, chingawa chii?

Mai E Chibwe said...

Vanhukadzi vanoda nguva refu uchiita zvaunoda kumuita. Tora nguva uye kuitawo murudo kwete kungoita zvekuti ugohi une PERFORMANCE. Pota uchibvunza kuti ari kuhwa sei uye anoda chii. Mapadza imbotaurai kuti zvange zviri sei uye pane zvimwe zvaangada here?

Kugarotaurirana kunoita munhu asununguke pakutaura kureva kuti unokasira kudzidza munhu wako, Vanhu vakasiyana siyana saka umwe noumwe une zvake zvaanofarira.

Unknown said...

Kkkkkk Iyo wati wangu mukadzi hatombotunde wandipedza wangu saka bonde racho nderako wega ka zvakaoma