Wednesday 6 December 2017

Mibvunzo nemhinduro 13

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 12 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 13. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Ndatenda




Mubvunzo

Mhinduro

0Ko matinji anonzi chii nechirungu? Matinji pa Chirungu anonzi "LABIA MINORA"
ukaverenga apo pakanzi Kuziva mamirire akaita munhukadzi ukasvika kunoperera nyaya yacho uchawana mashoko ese iwawo ari pachiKaranga nechirungu. Wotarisazve pikicha iripo inoratidza kuti chimwe nechimwe pamunhukadzi ndechipi. Handina kuwana nguva yokunyora nezvevarume asi ndichanyora. 
1Ndingaziva sei kuti ndaitira murume chikapa?Ndingaziva sei kuti ndaitira murume chikapa? Unoxiva nokuti ndiwe unofunga kuita chikapa chacho sanga hazviiti kuti uite ugasaziva kuti waita. Chika kungohwisisa kushandisa chiuno kuti uku murume ari kukupa chombo uku iwe uri kugamuchirawo chombo. Zvoreva kuti mese muri kukoirana. Iwe zvoda wakabatirira murume kuti unatse kushandisa chiuno, uchinatsohwa mapindire echombo uchihwa zvinokunakira. Varume vakawandisa vanokomburena kana mukadzi asingahwisisi kushandisa chiuno.

Hazviiti kuti usaziva.

2Ndingaudza sei murume kuti zvinondifadza kumboita nguva tichitamba before taita bonde? Anoti panguva yokurara akangoti twii otondivhura makumbo. Ndiatsireiwo.MMunhu wese hakuna anongomuka umwe musi achitoziva kuti zvoitwa sei. Tinotodzidzawo kuva kune zvinotaugwa neshamwari, zvatinoverenga mumabhuku, kana zvatinoonawo pamafirimu. Kana muri mumba nomurume, hazviiti kuti anongoziva zvinokufadza kana kuti iwe unongoerekana waziva zvinomufadza pasina amuudza. Iwe ndiwe unotofanira kumuudza zvinokufadza kuti azive. Iwe futi kurudzira murume kukuudza zvaanoda kuti ugozviita.

Dzidza kutaura nomurume wako wakasununguka panyaya idzi asi tanga nokuhwisisa kuti kuva mukadzi wemunhu zvoreva kuti wava munhu mukuru saka unofanira kukwanisa kutaura nyaya dzechikuru. Asi pakutaura usashoropodza murume, kurudzira.
3Mukadzi wangu is too fat. Ndikamutsiura anotsamwa for a long time, Hanzi unofanira kundida sezvandiri, but ndakamuroora akanaka zvokuti. Now at 34 ave twice the size. Not nice. HELP!.Munhu wese akakora kupfuura pakafanira zvinokanganisa kufunga kwevanhu vari mumhuri yake. Kukoresa handi chinhu chakanaka.

Uko kuzokuti unofanisa kumuda sezvaari hazvirevi kuti haazivi kuti akakoresa asi kuti ari kutotamburawo nokukora kwake. Iwe usamushora pazviri asi kumukurudzira kuti ambowedzera ma EXERCISE sokuti kufambafamba zuva nezuva.  Kukora kunoitiswa nokudya zvokudya zvisina kukufanira. Mumba menyu dzidzai kudya zvakakodzera uye kusawanza mafuta pakubika.

Chokutanga kutaridza mukadzi wako rudo uye kumupa CONFIDENCE pane zvaanotaura uye kuita. Kana munhu akava nechimwe chinhu chaanoona sechisinganakidzi vamwe kuona, anobva aderedza CONFIDENCE. Ibasa rako iwe murume kubatsira mukadzi wako kuva munhu ane CONFIDENCE. Kana usingafariri kukora kwake tanga kuti muite maEXERCISE mese asi kana maita iwewo womupa mubairo pese paanoita.

Chinosvota ndechokuti munhu anofanira kukusapota paunoita dambudziko otanga kukushotopodza kutevedzera vokuzhe. Bodo handizvo. Taridza rudo kuti iye akwanise kukutaurira mafungire ake kuti ugomubatsira pane zvaanoita kugadzirisa.
4Musikana anobviswa humhandara kutanga pamakore mangani?Zvokuti anobviswa humhandara ava nemakore mangani hazvisirizvo. Asi kuti ngaasabviswa kusvika ava nemakore okuti. Zvinozikamwa kuti musikana anokasirisa kutanga kuvata nevarume anowedzera pa CHANCE yokuzoita CANCER yechibereko kana akura. Zvoonekwazve kuti mukadzi anovata nevarume  vanopfuura 5 kana 6 anoitazve chigwere ichi.

Kana tichingotarisa panyaya yezvigwere zvinobva pakuisana tinoona kuti varapi vanoti musikana ngaasaiswa kusvika apfuura makore 18. Kana akatanga kuiswa ari pasi pezera iri, anofanira kushandisa makondhomu nguva dzese.
Munyika dzakawanda dzisina vanhu ve chiARABHU zvinonzi munhu ari pasi pemakore 16 mwana. Ku EUROPE makore 18 mwana. Kana murume akavata naye anosungwa asi kana vakasiyana makore zvishomanana haasungwi kana musikana ange apfuura 16.
5Kudyanana pamberi mukadzi nemurume kwakanaka here kana kuti kwete? Zvese zvinoitwa pakuvatana kwenyu mumba zvinoitwa nokuti munozvifarira mese. Kuti kuisana kwenyu kunake menge muchizvifarira mese. Kudyanana pamberi kunonaka chose asi munofanira kuva vanhu vane utsanana, uye vanofarira kudyanana. Kana muri vanhu vanovimbika hapana chingahi chakaipa pazviri. Kana umwe achihura zvinokwanisika kuti pane zvigwere zvinouya mumba. Asizve mutemo wekuisana ndewekuti kana uchifungira kuti uri kuhurigwa, usavata noumwe wako kusvika mese mahwisisana kuti hapana zvigwere.

Kupiwa rurimi nokusvetwa bhinzi kunonaka chose  kupfuura kupinzwa chombo.  Kusveta chombo chomurume chimire kunofadza chose uye kunoita uve RELAXED zvoreva kuti paunozoiswa unenge wakarerusa muviri zvinova zvinowedzera kunakigwa.

Kana mese muchizvifarira hapana chakaipa. Asi kana muchipinda chitenderi cheChitawara hamubvumidzwa kudyanana kana kubatana nemaoko pamberi.
6Ko vasikana vane magaro makuru vanonaka here?  Chinonaka pamunhu handi nhengo dzemuviri wake sokuti magaro makuru. Chinonaka mafungire nemaitire emunhu pakuvatana. Iwe ukafunga kuti zvauri kuona pamunhu zvinokufadza kuona, zvinokwanisika kuti paunozoisana  nomunhu iyeye unonakigwa naye. Umwewo murume achitarisa mukadzi wako ane magaro makuru, anokwanisa kusamboona sechinhu chakanaka saka akawana mukadzi ane magaro makuru haanakigwa naye.

Saka zviri kwauri kuti unoona magaro makuru chiri chinhu chakanaka pamukadzi here kana kwete. Mazuvano varume vakawanda vanoda vakadzi vari pakati nepakati panyaya yokukora nokuonda. Magaro akakura akatobuda mufashoni asi kune vamwe vashoma vachiri kumada pavakadzi vavo.
7Bonde muchangoroorana rinonaka zvimwe chetezvo kana machemedzana here? Kana muri vanhu vane rudo Zvinokwanisika kuti muwedzere kunakirana zvichibva nokuti muri vanhu vanohwisisana here pakutaurirana. Kunaka kwekuvatana kunobva pazvinhu zvakawanda pakati penyu asi chikuru chazvo kuhwisisana nokuwirirana. Mese munofanira kuda kuisana uye mese munofanira kufarira kufadzana. Kana mabva zera munohwisisana kupfuura muchangoroorana
8Mukadzi anoita sei kuti akurumidze kutunda pakuiswa?Nyaya yauri kuda kugadzirisa inyaya yemurume anokukasirira. Pakuvatana haufaniri kutsvakiridza kuti zhinhu zvikunakirewo asi kuti munobatsirana kunakirana kwenyu, mese muchihwisisa kuti muri kupa zvese nokugamuchira.

Murume wako anofanira kugadzirisa nyaya yokukasirisa kuti akuitirewo nguva refu ugorega kuzvinetsa nokufunga kuti ungadii kuti zvikukasirire.

Asi hwisisa kuti mhomho yevanhukadzi haitundiswi nokupinzwa chombo nomurume. HEadQuarters iri pabhinzi kuvanhukadzi vakawanda saka murume wako ngaashamwaridzane nebhinzi yako sezvaunoshamwaridzana nechombo chake.

Kana uchikwanisa kuzvikwizirisa bhinzi pamunovatana kwizirira iyewo achichikucha mukati mako nechombo. Zvinokwanisa kukuitira kana uri munhu anokwanisa kushanda pabhinzi yako uri wega murume asipo sezvinoita vakawanda.

Verenga apa 
9Takaroorana muna August 2017. Murume wangu anondikwira ndiri kuhope. IRAPE here iyi kana kwete? Usatamba nevara rokuti RAPE iro. Kuisana kwenyu mumba menyu zviri kwamuri kuti munoita sei uye munoita kangani kana kuti nguvai. Murume wako anoda kuti muisane usiku mambobatwa nehope. Iwe kana usingazvifariri, taura nomurume ako muisane imwewo nguva yaunoda. Chikuru ndechokuti waratidzwa zviri pachena kuti murume wako anofarira kuisana newe uye kakawanda. Iwewo chimuratidza zvaunoda. Kwete kumhanyira kubvunza kuti RAPE iripo here kana kwete.

Vakadzi vese vane varume vanotoiswa vari kuhope chete dzimwe nguva. Varume vese vane vakadzi vanoisana nevakadzi ivo (varume) vari kuhope. Ndiwo magarire evanhhu mupasi rese. Iwe kana wange usingadi zvokuisana nomurume dai usina kuwanikwa. Ngatiregei kuzvitsvakira matambudziko asina maturo. Kuisana tiri kuhope ndizvo zvinoitwa mudzimba umu.

Iwewo hwisisa kuti varume vanomira chombo kakawanda chose vari kuhope. Kana ukapepuka ukawana murume wako amire chombo, suduruka uwane mukana wekuti ukwanise kumutora chombo unangise chipinde mukati mako ugokwesha kusvika murume akodiridzira. Hapana chakaipa. 
10 Matinji ari normal anofanira kureba zvakadii ?Hakuna chinhu chinohi matinji ari NORMAL kana kuti ABNORMAL. Umwe noumwe ane matinji akasiyana neeumwe munhu saka ari NORMAL ipapo ndeupiko? Chiripo ndechokungohwisisa kuti aunawo iwawo ndiwo akakufanira saka fara nawo.
Matinji mamwe madikidiki, mamwe marefu chose vamwe vari pakati nepakati. Hapana chakaipa. Kana uchinetseka nokuti matinji ako mapfipi, dhonza arebe. Kudhonza hakunei nezera chero wakura unokwanisa kungodhonza. 
11Ko kana fambi yada kutora murume wemunhu, munhu wacho anofanira kuita sei? Hakuna fambi inouya kuzotora murume wako. Murume wako ndiye anotevera fambi, zvirizvo zvaari kuda. Iwe hauna nyaya nefami. Une nyaya nomurume wako. Taurirana nomurime wako mubvumirane zvamunoda kuita. Kana ukadzinga fambi iya murume wako anonotsvaka imwe fambi, kureva kuti haachafadzwa newe

Ukaone umwe wako atanga kuhura zvisinei kuti murume kana kuti mukadzi, hazvichaiti kuti azorega. Kuhura kunokonzereswa nokumhura munhu waunaye, kana kuti nokukura uchiona vabereki vako vachihura.

12Ndinoda kubvubza kuti nhengo yemukadzi inodyiwa sei ? Tanga waverenga apo pakahi basa rebhinzi yemukadzi. Umwe noumwe mukadzi akawana murume anofarira kumudya, anowanazve maitire aanofarira iye kuti murume wake aite. Hazvisi zve UNIFORM yechikoro yokuti tese tongoita zvimwezvo. Asi pamberi panhu padikidiki saka pane maitire anongopedzisira ada kufanana.

Vashoma vakadzi vasingadi kuti bhinzi isvitswe rurimi. Masvitsire acho ndiwo anosiyana nokuda kwekuti vamwe vane bhinzi dziri SENSITIVE chose zvokuti vanoteta, koitavo vamwe vanotoda puresha yerurim pabhinzi. Vamwevo pakati nepakati. Saka murume anokwanisa kukwenya bhinzi norurimi akaisa puresha yakakwanirana nomuridzi webhinzi.

Asi chikuru kuterera kuti mukadzi ari kunakigwa here kana kuti ari kuteta. Kana achiteta kwenyerera mativi ebhinzi wpota uchibva pabhinzi chaipo.

Unokwanisazve kusveta bhinzi sokuti munyatso wezamu asi zvinyoronyoro. Kana iye muridzi achinakigwa anokwanisa kubatirira murume wake kuti aramba aripo achiita zvaari kuita.

Mapedza bvunza kuti zvange zvinchinyanyonaka ndezvipi asi tanga nokuudza mukadzi kuti iwe wanakigwa nomumudya kuti azive kuti zvakufadzawo agosaramba kuzviitwa.

Mukadzi anokwanisa chose kuita ORGASM pakudyiwa uku. Anokwanisazve kuwedzera kuita SENSITIVE kana adaro saka nani kuchirega kutamba nebhinzi. Zvokupinza rurimi muchitubu zviri kwaairi asi bhinzi ndiyo inonaka chose nepakatenderedza bhinzi. 
13 Kusaenda kuchimbizi une mimba ndoita sei?

Constipation
OK iyi ndiyo inohi emergency. Kana une mimba ukaita CONSTIPATION unofanira kukasira kuwana chokuita. Kare vanambuya vainotsaka ruredzo vonyika mumvura vokundonyera kumashure. Ukaita awa yese usina kuenda kutoireti haa hameno kuti unenga wakaitawo sei. Mazuvano tinoenda kuclinic tondopiwa ma Laxative asi unokwanisa kuzoita manyoka nawo saka imwa mashoma uye wedzera mvura yokumwa chose chose. Zvikuru kana uri kunopisa.

Kana zvikaramba enda kuchipartara nokuti zvinoitisa muviri poison wobva wabata zvitachiona zvakawanda iwe une mimba hazvifaniri kudaro. Kasira kundoonekwa. Kana uri kumusha tuma munhu anokutsvakira ruredzo umbozama asi udza vokuclinic kuti une dambudziko. 
14Chii chinoita kuti paminyatso yemazamu paite mapundu?

Mapundu paMazamu

Mapundu paMazamu
Mapundu pama zamu anoita nguva nenguva, zvikuru kana
1 Une mimba
2 Uchimwisa mwana
3 Uchigadomwiwa mazamu nomurume wako

Hapana chakaipa pamapundu. Haasi mapundu chaiwo asi kuti pachirungu anohi ma GLANDS kureva kuti pane zvinogadzigwa mukati mawo zvinoshandiswa mumuviri. Anogadzira oiri onobudira pakasvibirira ipapo paari pedo neminyatso. Vamwe vanotoita mapundu acho nepaminyatso ipapo.

Basa reoiri iyi nderokuti kana uchimwisa kana kut wakamirira kuzomwisa, minyatso inokura yokwizirira pazvipfeko yogwadza kana pasina mafuta. Pakumwiwa ipapo inogwadza futi asi kana mafuta awa aripo hazvigwadzi. usazama kubvisa mapundu awa.
15Unoona sei kuti mukadzi 
imhandara?
Hakuna mukana wekuona kuti mukadzi imhandara. Unotoita zvokubvunza iye mukadzi wacho. Kare zvaimbofungigwa kuti kubuda ropa musi wekutanga kuiswa nomurume zvoratidza kuti imhandara asi kune vakawandisa vasingabudi ropa.
Ndezvokutobvunza kuti uri mhandara here. Iye okuudza. 
17Chombo chihombe chinonaka here? Chombo handicho chinonaka asi kuti murume ndiye anonaka kana achihwisisa zvaari kuita pakuisana. Kukura kwechomo kunokwanisa kutokugwadzisa chose pasina kunakigwa kwawaita pazviri.

Kana uchida kunakigwa dzidzsa murume wako kuti mumbotamba muchibatana batana muchipurudzirana pamberi kusvika wanatsa kunyorova. Zvadaro opinza chombo mukati mako, otora nguva refu kubva paanokupinza chombo kusvika paanokutundira urume. Akasvika maminitsi anopfuura masere zvinonakira vakadzi vakawanda.

Kunaka kwekuisana kunaka kwemunhu wauri kuisana naye. 
18Kubvisa mukadzi bhurugwa kunofamba sei? Bodozve nhaiwe. Mukadzi haabviswi bhurugwa. Kana ukajaira kubvisa munhu bhurugwa ukazozviita kumunhu asiri mukadzi wako, unokwanisa kupomegwa mhosva yokuata chibharo. Kana mabvumirana kuisana iye achitoda kuisana newe, mirira abvise bhurugwa rake ega. Iwewo bvisa rako wega.

Mese ipapo maratidza kuti muri kutoda zvokuisana. Kana akaramba kubvisa bhurugwa zvoreva kuti kuisana newe haasi kuda saka musiye akadaro.

Kana ari mukadzi wako wemumba, unozopinda mumachira asisina bhurugwa kureva kuti anohwisisa kuti pane nyaya yokuisana. Kana ane bhurugwa mumubhedha, ziva kuti ari kumwedzi saka rega akutambse chombo nemaoko kana une zemo. 
19Zviri Normal here kuti murume akanakirwa nebonde anochema misodzi?

Hapana chiri NORMAL pazviitiko zvebonde pakati pevanhu vaviri vanodanana. Vamwe nevamwe vanoita zvakasiyana siyana. Ndizvo zvinoita kuti vava vanodanana pakati pavo chete. Iwe nomurume wako pabonde renyu munoita zvinokunakirai. Apa zvinratidza kuti murume wako munhu anonakigwa chose nokuisana newe saka unofanira kufadzwa pamoyo nazvo kwete kubvunza kuti zviri NORMAL here. Musi wamunotanga kuita zviri NORMAL ndiwo musi wazvichatanga kufinha zvokuti unotozodemba kuti dai usina kuroorana naye.

Kana achiti anakigwa ochema iwe varaidza murume wako. Womugumbatira womuvaraidza. Kare vana mbuya vairaira kuti kana murume akatanga kuchema pakuisana, isa munyatso wezamu mumuromo make, zvichiva nokuti muri kuisana sei. Chinhu chaitozikamwa kuti varume vanochemedzwa nokuisana, zvikuru paanotanga kubudisa urume. Anooma muviri uku akakubatirira chose kuti usabvapo achikupa urume. Ndiyo nguva yaanokwanisa kuchemedzwa nazvo.

Usatya pazviri. Hapana chakaipa. 
20
Ko kuchemerera kwemukadzi kunobatsirei. 
Mubvunzo uyu unobvunzwa kakawandisa. Munhukadzi akapinzwa chombo nomurume waane rudo naye, uye iye agara ane zemo, zvinonetsa kusachemerera. Hakusi kuti anozviitisa kuchemerera asi kuti chinhu chinongoitika chega.

Asi kune mahurewo anozviitisa kuti murume afunge kuti ari kugona basa.
Varumewo kuchemerera chinhu chinofadza mukadzi. Kuziva kuti uri kunakira murume wako chinhu chinofadza uye chinopa manyawi. 
21Chii chinokonzera kusura pabonde?  Zvinondinyadzisa. Verenga apa:
Hatingati kusura asi toti kubudisa mweya. Zvinoitiswa nomweya unovharigwa mukati nechombo paunochishinya, kureva kuti murume wako ane chombo chakati kurei chinoshinya zvokuti mweya unoshaya kwekubuda nako. Ukazowana mukana wobuda une puresha zvoita sokuti uri kusura. 
22 Mukomana wangu ane makore 26, ini 22. Ari kuda kuroora asi haashandi. Ini handishandi. Zvinoita here kutizira ndisina nhumbu? Ndakarerwa kwanasekuru. Hazviiti. kutizira handizvo kana usina mimba. Zviri nani kutaura naanatete wovatsanangurira nyaya yako voihwisisa. Kana akakwanisa kungozokumbira chete, obvisa mombe youmai. Zvimwe zvese zvinongonyeroranwa pasi moenda. Kana mazozviwana moendesa. Zviri nani nokuti kana ukatizira, murume akatadza kundodaidzira, chimwe chinhu chikazoitika vabereki vako vasingazivi kwauri, zvinokunetsai.
Kutizira hachisi chinhu chakanaka kuita nokuti haukwanisi kudzokera kumusha kwenyu uri wega. 
23Mukadzi anobuda mvura yakawanda kana anakirwa angaita sei? Mukadzi kubuda mvura yakawanda hapana chakaipa asi kungoti vamwe vanoona sokuti zvinoderedza kunakigwa kwemurume, Zviri nani kueredza pane kusanyorova. Ingopota uchipukuta. Kunakugwa kwemurume wako hakufaniri kusiyana nekwevamwe varume. Chiripo kuwana maitire anoita ukwanise kunatsoshinya chombo chemurume wako. Sokuti kuvata nedumbu makumbo ari pamwe chete murume okutanyanga opinza nokumashure iwe wakasimudzira chiuno. Unotohwa manakire azvo kuti akasiyana asi iyewo anonakigwa. Kunyorova hakuna kuipa ipapo.  
24Ko gavakava rinorapa nderipi? Magavakava akasiyana siyana anorapa vanhu nemhuka zvese neshiri. Kana ukagaromwa gavakava zvikuru dete riya unogara une utano. Kutora gavakava worichekacheka woisa mumvura womwa kaviri pazuva, kana wange uchigwara unoona zvoita nani asi rinovava.

Unokwanisa kuisira mombe mumvura kana huku. 
25Unoziva sei kuti une nhumbu? Zvinobva nokuti wava nenguva yakadii une mimba yacho kana ichangotanga unokwanisa kuita mwedzi wese usingazivi kuti unayo wzoona wanonoka kuenda kumwedzi wozoona mwedzi unotevera warega futi kuenda kumwedzi Asi ipapo unenge wava kugarorutsa.

Nizv zvokutanga kuona asi kune zvimwe zvinozotevera. 
26Mai Chibwe, mukadzi wepa next door akanaka zvisingaite and zvipfeko zvake hazviite futi. Ndine wangu mukadzi but ndichiva wepa next door. HELP!Usatamba nechihure zvakadai uwe. Kana une mukadzi mumba enda kuma uongorore mukadzi wako uone chinhu chimwe chete chakanaka paari ugogarochifunga ichocho. Tora pikicha yake achiratidza chinhu ichi ugogaroitarisa. Kana pawaionera fonera mukadzi wako umuudze kuti unomuda uye uri kumufunga.

Uchaona kuti mukadzi anochinja zviito zvake, zvikuru pakuisana kwenyu. Iwe chiona mukana wawapiwa uyu wekupedza shungu pamukadzi wako. Hwisisazve kuti murume wepa next door ari kugarotarisa mukadzi wako achitomuchivawo zvauri kuita wake.  Hapana zviripo apo. Waunaye ndeye chaiye. 
27Chii chinokonzera kuti mudzimai arire panguva dzebonde?Handina kuhwisisa kuti kurira kuita sei. Sori kana pane anoda kutsanangura ngaatsanangure. 
28Zvakasiyana here kukwira mukadzi kudhodhi nokukwira umwe murume? Vakawanda vanoona sokuti hazvina kusiyana asi nyaya yavappo ndeyokuti kana mukadzi wako achida kuti ugare uchimudaro zviri nani kuzviita naye nokuti ndizvo zvaanoda. Izvo zvokuzoti zvakasiyanei nokuita umwe murume hazvichina basa nokuti iwe hauna kuroorana noumwe murume. Unenge uchafungirei umwe murume.

Asi hwisisa kuti kana wambomupinza ikoko usazopinza kumberi using kunatsogeza nokuti maBACTERIA akasiyana saka ingakonzera utachiona kupinda kumberi zvigonetsa. 
29Ko kana ndikadya murume mb**o haazonditundiri mumuromo here? Zvakanaka here kutundirwa mumuromo? Pamunotanga kudyanana munotaurirana kuti zvinonaka here uye munofarira kuzviitirana here. Pakutaurirana ipapo ndipo pamunoudzana kuti zvinosvikepi. Iwe chibva wamuudza kuti kudya unokuda chose asi ngaasakusiira urume mumromo. Iwewo murume wako unomuziva maitire ake kana oda kutunda saka unobawa mira kusveta, womupedzisa nemamwe maitire.

Musi waanotanga kukupa urume mumuromo usaita hanya nazvo asi kana azviita achiziva kuti hauzvifariri, iwe imoti mira mire wozomukisa akarivara moshaya urume mumuromo.  Uchaona kuti haazozviiti futi.

Urume hahuna kuipa kana une murume asingahuri. Asizve kana murume wako achihura usatomboita tsika yokuisana naye nokuti unofa uri mwanana.

Kana murume wako achikudyawo uchahwa kuti zvinonaka chose asi muudze zvokuita zvinokunakira. 
30
Chii chinoita kuti mukadzi wemunhu akwirwe neumwe munhu? 
Kuhura kwevarume nevakadzi kwakati siyane. Varume vanohura nokuda kwekushaya rukudzo kuvakadzi vavo. Vakadzi vanohura kazhinji nokuda kwekushuva rudo. Kana asingapiwi rudo nomurume wake anonotsvaka rudo kune vamwe varume, Zvikuru kana murume wake asingadi kuterera zvichemo zvemukadzi wake. Akazongoodzwa kuti munhu ane moyo wakanaka kana kuti munhu akanaka kutarisa noumwe murume, anobva atotsvaka mukana wekupa umwe murume uye rudo zvoperera pakuhura.

Varume verudzi gwedu havadi kutaura nyaya kana mukadzi ane chichemo. Anozoda kutaura pama paita Crisis. 
31 Tine mwana umwe chete. Murume wangu anogara achindirova nguva nenguva. Mazuvano akatanga tsika yokuti akandirova anondi kwira zvekufosera. Kana ndikada kuramba anondirova futi. Handichazivi zvokuita. Chokutanga kuhwisisa kuti nyaya yokurohwa nomurume haisi nyaya yaunofanira kugara nayo. Pane zvikonzero zvakawanda zvinotisa kuti murume/mukadzi agare achirova umwe wake. Zvinoti:
1 Kukura achiona baba vachirova mai.
2 Kutadza kutaudzana noumwe munhu mukuru zvobva zvoitisa hasha.
3 Kuva nechigwere chinohi Mental Illness.

Zvino kana usingazivi kuti chaicho chiri kumukonzera kukurova chii, haufaniri kugara naye nokuti anokwanisa kukukuvadza umwe musi.

Nyaya yokuti anokubata chibharo iyo inyaya inotyisa. Inoratidza kuti pane chiri kuitika mufungwa dzemurume wako chisina kururama. Dai wambokwidza nyaya yako kuvakuru vemhuri vakubatsire kufunga.

Asi tichitaura chokwadi inyaya inoda mapurisa. Kana akakurova akakubata chiharo, unofanira kutsvaka mukana wekuenda kumapurisa uye kutora mwana woenda naye kuri SAFE. Hazvisi normal kuti munhu anorova mukadzi wake obva amuata chibharo futi. Zvinoda kugadziriswa asi hwisisa kuti unokwanisa kupedzisira warambana naye.
32Ko kusv**wa musango zvakaipei? Hapana chakaipa kana asi kungoti munofanira kuchenjera nyoka nemago nemagangemukange chete. Kozotiwo munofanira kuenda pakavanda pekuti musawanikidzwa nevaya vanotsvaka huni kana hwiwa mumatondo.

Kusiyanisa pokuisirana kunokwanisa chose kuwedzera kunaka kwazvo saka munotokurudzigwa kuwana nzvimbo dzakasiyana siyana dzokunakirana.

Verenga apa pakahi "Siyanisai nguva nenzvimbo"

33Mazamu anobuda mukaka here iwe usina nhumbu? Mazamu anokwanisa chose kubuda mukaka kana usina mimba, zvinongobva nokuti une murume anofarira kugaromwa mazamu ako here. Mazamu akagaroitwa zvimwe zvinhu anotanga kugadzira mukaka. Mazuva ekutanga anobuda mvura asi nenguva anozobuda mukaka. 
34Ma HOOK WORM (makonye emudumbu) anobatwa sei uye anobviswa sei? ma HOOK WORM makonye anogara muura hwemunhu anokwanisa kukonzera zvigwere. Munhu anawo anoondorora kuita katete tete nokuti chikafu chaanodya chinodywa nemakonye aya.

Munhu ane makonye akaitira svina mudondo, svina iya inenge ine mazai emakonye. Mvura ikazonaya inokukura svina iya yondosiya kugwizi. Vana kana vanhu vakuru vogeza mugwizi vobata mazai aya. Kusina kupera nguva vatovavo nemakonye acho.

Kana ukafungira kuti une makonye awa unofanira kukasira kundorapwa. Pane mukomana wandakapinda naye chikora akapiwa mushonga wemakonye iwawa akakwanisa kubudisa gonye raiva 7metres kureba. Ipapo ange aonda zvokuti vanhu vaifunga kuti achafa. 
35Zvinoita here kusaenda kumwedzi usina nhumbu?               Zvinoita chose kana muviri wako usina BALANCE yema HORMONE. Pane zvikonzero zvakawanda asi zvikuru zvacho ndeizvi:
1 Kufunganya
2 Kuonda zvakanyanya
3 Kukoresa
4 Kutadza kukandira zai. 
35Chombo chinofanira kukura ma cm mangani? Kana tichitarisa kukura kwechombo tinotangira pakubvunza kuti chombo basa racho nderei. Towana mabasa maviri anoti
1 Kuweta
2 Kuzvarisa mukadzi.

Kuweta hakuna basa nekoti une saizi ani.
Kuzvarisa kunoda kuti chombo chikure zvokukwanisa kupinda mumukadzi. Mukadzi ane zemi akadzika zvokusvika pa 10 cm. Saka chombo chikakura kusvika 11 cm chimire chinenge chakakura zvakakwanirana nebasa. Asi AVERAGE iri pa 10 cm kusvika pa 16 cm. Kune vashoma vanosvika kuma 20 cm kana kupfuura asi zvinoita sokuti kuremara. Varume ngochani vane AVERAGE iri pamusoro kupfuura varume vasiri ngochani.

Verenga apa ugotarisa kusiyana kwemarudzi (Saizi yechombo)
36 Ndokumbirawo kubvunza kuti ndingakwira sei mukadzi kana ndichida kumugutsa chaiko? Kana uchida kugutsa mukadzi wako? chokutanga kuhwisisa zvaanofunga iye kuti ndizvo zvinomunakira. Kuti uzive zvinomunakira unotofanira kumubvunza kuti chii chaanofunga kuti chinonaka chose pane zvese zvinokwanisika kuitwa pakuisana. Kana moda kuisana muvunze kuti anoda kuti muisane sei. Kana mava kuisana terera zvaanotaura.

Asizve hwisisa kuti vanhukadzi vane bhinzi inoti kana ikashandwa zvakakodzera inonaka chose saka shamwaridzana nebhinzi yemukadzi wako nguva dzese.

Kana mukadzi wako achisvoda kutaura iwe tanga nokumuudza zvaunoda iwe ugozomubvunza akuudzewo zvaanoda iye kukapera vhiki womubvunza futi. 
37Ndezvipiko zvinoita kuti mukadzi anzwe kuda bonde nguva dzese? 1Kutaridza mukadi wako rudo nguva dzese
2 Kutaridza kuti unofarira kugarobata mukadzi wako magaro, mazamu, zvidya, kumukisa pese paunowana mukana.
3 Kushamwaridzana nomukadzi wako
4 Kuterera mukadzi wako achiita nyaya newe, kubvunza mibvunzo pane zvaataura.
5 Kumuudza nyaya dzinosetsa
6 Kumubatsira mabasa emuma

Uchaona kuti anowedzera kukuda. Hino isu maitire edu ndeekuti tikaita rudo tonofarira kuva nomurume pedo pedo saka kuisana kunowedzera. Kana uchida kuwedzera kuisana nomukadzi wako tanga nokuratidza rudo. Zvimwe zvese zvinouya zvega.
38Mhando dzouroyi ndedzipi?          Uroyi hwakasiyana siyana asi uroi ukuru CHIHURE.
1 Chihure
2 Kureva nhema mumba
3 Kunyimana pakuisana
4 Kutukana
5 Kutambisa mari pazvinhu zvisina maturo
6 kusaronga upenyu pamwe chete
7 Kuvenga hama
8 Kusatorera vana EDUCATION INSURANCE vachiri vadikdiki
9 Kusagadziridza nyaya dzokupokana nguva ichipo
10 Kunyeyana nevanhu vemuraini, kana hama kana shamwari.

Uroi kuitirana zvakaipa chete chete. Hakuna humwe uroi hunowanikwa muvanhu.
39Murume wangu anokasirisa kutunda. Pamwe minute chaiyo haisviki. But anobva akumbira ruregerero but zvinondisvota. Kukumbira ruregerero zvinotoreva kuti anoziva kuti hauzvifariri. Pane zvamunokwanisa kuita mese. Imbozamai izvi zvandakaudzwa nevamwe paKisimisi pano. Kwasara awa imwe chete kuti mundovata, tora murume wako, wokweva ganda rechombo musoro wobuda pachena. Womuzora TOOTHPASTE wodzosera ganda. Zvadaro mava kunovata otnga ageza mozama kuisana. Asi mujaidzana tsika yokuti akapinza chombo momboita nyaya musingafakanyiki makapindana kudaro. Mukaita nguva sokuti 5 minutes, mombosiyana moitazve nyaya, 5 minutes. Mopinzana futi moita nyaya, mozokoirana asi muchipota muchozorora. 
40Mukadzi wangu haana saini yekunakirwa kana kusanakirwa. Chikapa haana, kuchemerera haana. Rubatsiro please. Kune vakadzi vakawanda vasingakwanisi kuratidza kuti vari kunakigwa, iri nyaya yokuti haana kusununguka pakutaura nomurume wake. Pakunoisana haarambi kuisana asi haataridzi kuti zviri kufamba sei. Mumoyo make angada chose kuiswa asi kuti aratidze kuti anohwa sei zvinomugozhera.

Chokutanga dzidza kutaudzana nomukadzi wako kusvika ava kukwanisa kutaura nyaya dzkuisana akasununguka. Panguva iyoyo mutsananurire kuti kana asinganakigwi iwe haunakigwi naye saka zviri nani mese muudzane zvinonaka uye mutaridzane pazvinenge zvichinaka.

Kuchemerera handi kwevakadzi chete. Iwewo kana zvichinaka ratidza kuti zviri kunaka. Iye akakuhwa uchidaro anokwanisa kuzokoperawo.

1 Musaisana murima
2 Mukurudzirewo kupota achikukwira
3 Tanga nokumubvunza kuti anoda chii nhasi womirira kusvika ataura zvaanoda.
4 Mapedza bvunza kuti anakigwawo here uye muudze kuti ange achinaka kuti aite CONFIDENCE pazviri.
5 Ita naye nyaya dzezvokuisana kana muri vaviri ajaire kuti zviri NORMAL kuisana.
41Ndakarambana nemukadzi muna July 2017 asi ndomuda uye iye anondida. Ndakamuramba coz aindidyisa. Tine mwana ane makore maviri. Mukadzi anokudyisa ndiye mukadzi anokuda zvokuti anoshaya kuti ukuchengeta upenyu hwese hwake sei saka obva kudyisa kuti usazomusiya. Kudyisa hakuna zvakunoshonda, chinongori chiratidzo cheshungu dzokuti dai murume wangu achindida sezvandinomuita. Kureva kuti iwe wange usingagarotaurira mukadzi kuti unomuda. Hakuna mushonga werudo unopfuura rudo.

Enda unotora mukadzi wako nemwana asi munofanira kutsvaka munhu mukuru mumhuri yenyu mogara pasi motongeswa. Iwe wotsanangurira mukadzi ipapo kuti unomuda chose saka zvemishonga izvo dai adzidza kusiyana nazvo. Mobvumirana kuti pakudzokerana kwenyu chii chamunoda kuti chiitike pakati penyu nemwana wenyu.

Michato mizhinji haina zvakabvumiranwa. Ndoosaka tichiona vanhu vachipokana. Hapana anoziva zvinoda umwe.
42Chii chinokonzera kuti munhukadzi ayite mvura kuzasi? Zemo (kuhwa kuda kuiswa) ndiri rinokonzera kuzasi kunyorova uye kueredza. Pfungwa yomunhukadzi ikangofungira kuti pano ndingangoiswa, Kuzasi kotonyorova. Hakuna mukadzi anokwanisa kuzvidzivirira. Pamwe anonyorova asingatozivi kuti anyorova.

Hapana chakaipa pakunyorova. Zvinobatsira kuti pamunoisana mese hamusvuuki. Mukadzi asinganatsi kunyorova ane dambudziko guru rinotoda kuti andoonekwa kuchipatara asi chero ikoko havagoni kurigadzirisa vanongokupi mafuta okozora chombo kuti kugwadza kuite nani paunopinzwa.

Mate ako kana emurume anobatsirawo futi. Kunyorovesa hakuna kuipa asi kana zvichikushusha pota uchipukuta.  
43 Kukwira mukadzi ndichishandisa Condom kunonakira mukadzi zvakangofanana here neasina condom? Zviri nani kuiswa ne Kondhomu kumukadzi nokuti murume ane kondhomu anowedzera kunonoka kutunda saka munoita nguva yakati rebei muchiisana zvinova zvinonakira mukadzi.

Asi kana une murume anohwisisa nyaya yokunonoka zviri nani kuisana musina kondhomu nokuti kunaka kwazvo kuri mberi. Ganda neganda zvinohwisisana.

44Mwana mukomana anogara divi ripi mudumbu ramai ?  Zvokuti mwana mukomana kana kuti musikana hazvinei nokuti akagara sei mudumbu ramai. Vana vose vanongogara zvakafanana mudumbu.
Muchibereko munokurira mwana mune mvura kuitira kuti mwana asakuvata kana mai vakawira pasi. Hazviiti kuti ugare panzvimbo imwe chete muimba yakazara mvura. 
45Ndingaite sei kuti ndigutse mukadzi pabonde? Tanga nokubvunza mukadzi kuti chaanofarira kuti muite mese chii uye anofarira kuti zviitwe sei. Pamwe ari kutonakigwa chose asi iwe uchifunga kuti haasi kuguta. Nyaya dzese dzinotanga nokutaurirana nokuhwisisana.

Chikuru pakunakira mukadzi kudzidza kumutaridza rudo nguva dzese. Kana mukadzi akaita fungwa yokuti anodiwa nomurume wake, nyaya zhinji dzinochinja maonere aanodziita. Kana usingahwisisi kuti unotaridza mukadzi wako rudo sei zvinoreva kuti haumudi uye iye anoziva kuti haumudi kureva kuti ndicho chikonzero chokuti anoita seasingaguti. 
46
Zvakanaka here kubviswa humhandara nemu komana musati maroorana? 
Kubviswa humhandara musati maroorana chinhu chinoitwa nevasikana vakawanda chose asi chinhu chisina unhu uye zvinokanganisa upenyu hwako nokukasira. Zviri nani kumirira kusvika mukomana abvisa mome youmai, asi hazvibatsiri chinhu kuti ndikuudze. Iwe uchapiwa puresha yakawanda chose kuti uvate nomukomana wako musati maroorana.

Zvadaro uchaita nguva refu usingazivi kuti anokuda here kana kuti haakudi. Uchanetseka chose zvokuti musi waanotadza kukufonera uchapedza zuva rese uchifunga kuti waramwa.

Uchaita nguva yaunopedza uchifunganya pakuti une mimba here kana kwete. Uchatadza kuziva zvokuita kana une mmba.

Kana mombe yenyu yabviswa unovhura makumbo wakasununguka pasina mibvunzo yaunoita. Zviri kwairi kuzvivunza kuti chiito chiri nani ndechipi.

Hwisisa kuti ZEMO rine sima kupfuura fungwa.  
47Mhata inobatwa papi? Mubvunzo wako hauhwisisiki. tanga watarisa pakahi
MAMIRIRE AKAITA MUKADZI/MURUME
48Pamberi pemunhukadzi pane maburi mangani? Uyu mubvunzo unobvunzwa nevarue vakawanda. Havanatsi kuhwisisa nokuti varume vakasiyana nesu.
Pamunhukadzi pane maburi matatu anoti kana tichibva pane bhinzi tichidzika zasi
1 tinosvika paburi rinobuda neweti. Iburi dikidiki saka rinonetsa kuona.

2 Todzikazve tosvika paburi rinohi mheche panopinda nechombo kana muchiisana, panobuda nomwana kana achizvagwa.

3 Toramba tichidzika tosvika paburi rinohi mhata, panobuda nesvina kuchimbuzi.

Mamirire akaita mukadzi
Tarisa apa pazvakatsanangugwa. 
49Zvinoita here murume kurara neni ndiri kumwedzi kana tikashandisa kondhomu? Zvinoita chero musina kondhomu asi kungoti pachivanhu pedu hazvivumidzwi nokuda kweunhu. Nguva yokumwedzi inguva yokusuka chiereko saka zviri nani kumbosiya nyaya yokuisana iyo. asi kungoti varume vanongoita zemo pese pese. Kana iwe uchida kuti muisane uri kumwedzi nekondhomu isanai. Hapana HEALTH RISK. Chinongori chivanhu chete kuti zvinodziviswa.

Murume anoda iwe uri kumwedzi

Imboverenga apa
50Ndokubirawo rairidzo yenyu pakupa murue bonde. 
Pakupa murume bonde, upenyu hwedu tese hwaaita nani chose dai taigarofunga kuti chikubiro chako chinorevei. Sokuona kwangu kana warorana nomunhu ukamuti ava murume wako, unofanira kuzvipira kuti murume wako asashuva bonde iwe uripo uye usingagwari, usiri kumwedzi. Kana zvichikwanisika, iwewo usashuva bonde iye aripo asi chikuru pazviviri izvi chishuvo chomurume wako.  Wakabva kumusha kwenyu kune zvese zvinoti zvokudya, zvokupfeka, asi chisiko murume wekuvata naye. Saka kana wasvika pamurume chiita zvawakavinga.  Nyaya iyi inyaya huru chose uye inokonzeresa upenyu kuipa asi inyaya isingambonetsi kugadzirisa kana iwe wangoyeuka kuti uri pamurume.
Kuzoti bonde rinoitwa sei, yava iwe nyaya asi chokutanga ratidza kuti unoda bonde nomurume. Chechipiri ita zvese zvinodiwa nomurume wako. Gorobvunza kuti pane zvimwe zvaanoda here, kana akuudza woita. Kana muri pabonde yeuka kuti une chiuno chine simba guru rokufadza murume. Kwete kungoti kwindi sewakafa murume achishanda ega. 

Mapundu pamazamu 

4 comments:

Anonymous said...

Ndiri murume akachangobva kuwana. Ndoda kubvunza musiyano uri pakati pe bhinzi ne G spot. ndoda kuziva musiyano wazvo zvichibva pazvinowanikwa munhengo yemakadzi uye mashandisirwo asvinofanirwa kuita nemurume pakurarana. Ndisingazivi kuti zvese zvingashandiswa panguwa yekabatana here kana kuti pane chinoshanda zvakanyanaya panguwa yekuti chombo chababa chapinda mukati. Uye ndingazvishandisa sei semurume zvingafadza mukadzi wangu

Anonymous said...

Ndinoda kubvubza kuti nhengo yemukadzi inodyiwa sei

Mai E Chibwe said...

Nyaya yeG-Spot ndapindura semubvunzo mukuru kuma ARICLE apo

https://maichibwe.blogspot.co.uk/2017/12/bhinzi-ne-g-spot-zvakamira-sei.html

Iyi imwe ndaisa pa mubvunzo 12
Ndatenda.

Mai E Chibwe said...

Kuti nhengo yemunhukadzi inodyiwa sei mubvunzo unonetsa kupindura nokuti umwe noumwe ane zvaanoda kuitwa zvakasiyana noumwe. Asi kungoti vakawanda vanongoda kuti nyya itangire nokuperera pabhinzi. Saka murume anokwanisa kukwizirira bhinzi norurimi. Kumwe zasi uko hakuna nyanya dzakawanda dzinodiwa. Asi zviri nani kupota uchibvunza mukadzi wako kuti ndizvo zvaanoda here kana kuti pane zvimwe, sezvaanokubvunzao kana achikudya.

Nyaya dzse dzokuvatana dzinewedzera kunaka kana munhu auri kuita naye ari pedo newe pamoyo uye pakutaudzana.