Sunday 31 December 2017

Mivunzo nemhinduro 14

Pamibvunzo apa kana yasvika 50 tinomirira ipapo totanga rimwe gurupu. Gurupu 13 yakazara saka tava kutanga rino Gurupu 14. Zamai kusabvunza zvakambobvunzwa ku Gurupu 13, 12, 11, 10, 9  8, 7, 6, 5, 4, 3, 2, 1.

Tanga watarisa kuti mubvunzo wako uripo pa ne mamwe magurupu here?  Vanoda kuwedzera wedzerai asi tanga nokutaura kuti uri kuwedzera pamubvunzo upi uye wedzera pagurupu rine mubvunzo wauri kuda kuwedzera.
Kana une mumbvunzo waunoda kubvunza tarisa apo pakahi MUBVUNZO
Ndatenda




Mubvunzo

Mhinduro

 Mwana kutamba nhova zvinoitiswa nei?Veduweeka, nyaya iyi yanetsa. Mwedzi umwe noumwe inobvunzwa kakawanda chose. Mwana kana ane nyota nhova inotamba. Kana ukaona nhova yomwana ichitamba, ipa mwana mvura kana kuti mwisa mwana zamu nokukasira. Hwisisa nyaya iyi Please. 
Kana uchida mukomana iye asingazive kuti unomuda, ungazive sei kuti anokudaKana uchida mukomana iye asingazivi, kasira kuti azive nokuti kana iwe uchimuda zvoreva kuti kune vamwe vanomudawo saka umwe akakutangira iwe watoshaya mukomana. Kana uchiziva NUMBER yefoni yake, mutumire Message utsvake ushamwari. Mukatanga kutaudzana ndipo paunomuratidza kuti une rudo asi unofanira kumrira kusvika iye akukumbira kuti mudanane. Zvadaro iwe imbomuudza kuti unoda nguva yokunofunga.  Wozomuudza mamboita kanguva kuti unomuda.

Usarega mukomana waunoda achidiwa oumwe musikana. 
3 Kubuda ropa uine pamuvuri panemwedzi nehafu zvinoitiswa nei?



Kuenda kumwedzi une mimba kunokonzerwa nei?

Pakuita mimba pane mabasa akawanda chose anoitwa nomuviri wako. Mazuva ukutanga panezvinoitwa nguva imwe cheteyo zvinokwanisa kukanganisika.
Kuisa BALANCE yemaHORMONES anoshanda basa
Kubatanidza urume nezai
Kutanga kuumba mwana
Kunamatidzira chimwana kumadziro echibereko kuti tambho yokufidha igotanga kugadzigwa.
Kugadzira bumbu rinozogara mwana rizere nemvura
Kuvhara kuti ropa remwana risasangana neramai sezvo akasiyana.

Chibereko chinoumba mwana zvichibva neruzivo gwachakasikwa chinago panyaya yokuumba mwana. Pavhiki dzinoita nhanhatu chinokwanisa kuita MISTAKE asi chinobva chaziva kuti chaita MISTAKE chobva charega kuenderera mberi nokuti mwana angazozvagwa ane zvakaipa paari sokuti kuremara.

Pakurega kuenderera mberi apa iwe mai unobva unokwanisa kusvodza . Unoona wobuda ropa zvopera zvakadaro muviri wotanga kusuka chibereko kugadzirira kuti uite imwe mimba.

Kuramwa mwana uku pachirungu kunohi Spontaneous Abortion. Mimba dzakawandisa dzinobva dzega muridzi asati atomboziva kuti ane mimbaa kutesitwa wobatwa mimba, wozotesitwazve vhiki inouya usisina miba.  Pamwedzi miviri yokutanga panonetsa. Kwedu vakawanda havaudzi munhu kuti vane mimba kana ichiri kutanga. Haisi nyaya yokushungurudzika nayo nokuti muviri wako unoziva kuti wagona here kaa kwete kuumba mwana.

 Ini ndakaita kaviri mimba isingasviki mwedzi nehafu 6 weeks.

Kana mimba yasvika mwedzi mitatu ukaona ropa, kasira kundoonekwa.
Chii chinokonzera mvura muchitubu? Mvura inoita kana wava nezemo rokuda kuiswa nomurume. Hapana chakaipa kuita mvura. Kuita mvura chinhu chakanaka chose kana wava pakuisana nomurume nokuti zvinodzivirira kusvuuka mukati uye kusvuuka kwemurume.  Chakaipa kusaita mvura. Kana ukatadza kunyorova unotopedzisira watadza kuiswa nokuti zvinogwadza. 
Kubviswa humhandara neSkin to Skin kwakasiyanei nokubviswa ne Condom? Kana uri musi wako wekutanga kupinzwa chombo nomurume zvinoda kuhwisisa kuti zvinoitwa sei uye kuti uchahwa sei pazviri. Zviri nani chose kushandisa Kondhomu nokuti unokwanisa kubata zvigwere musi iwoyo. Kuisana, zvikuru kana mange musina kumboisana kunoita mupanane zvigwere zvakasiyana siyana zvichibva nokuti murue ane zvipi zvacho.

Uchabvarugwa chimuvharo uye panokwanisa kubuda ropa kureva kuti pane karonda kadikidiki kanokwanisa kupinda utachiona. Kondhomu rinodzivirira zvigwere.

Unokwanisazve kuita mima ipapo saka kondhomu rinodzivirira mimba.
Kana chivharo chako chakati korei, unokwanisa kugwadziwa zvishomanana sokuti wabaiwa netsono  pakubvaruka zvobva zvatopera otobatirira murume, worumira mazino motoisana. Pamwe unonakigwa musi wokutanga, pamwe hazvinaki kusvika wamboiswa kakati wandei.

Tanga averenga pahahi KANA WAFUNGA KUBVISWA HUMHANDARA 
6 Kana wakazvitakura mwana anotanga kutamba ane mwedzi mingani?Zvinobva nokuti mwana wechingani. Kana ari mwana wekutanga unononoka kuhwa achitamba. Kana wakamboita mwana unokwanisa kukasira. Saka vanhu vakasiyana asi zvinotanga kuitika pakati pevhiki dzinoti 13 kusvika pa 25. Ukazisvikawo 25 usina chahwahwa haa kashoma. 
7Mai Chibwe, ko sei musina kutiisirawo  mapicture evakadzi vasina kupfeka? Kana wava munhu akura zvokuda kugaroona mukadzi asina kupfeka, zvoreva kuti unofanira kuzvitsvakira musikana waunoti ndewako. Ndiye achazosvika pakukwanisa kukutaridza kuti munhukadzi asina kupfeka akaita sei.

Kana ukajaira kutarisa vakadzi vevamwe vanhu kana kuti vana vevamwe vanhu zvichakunetsa mberi nokuti jairiro iyoyo ndicho chimwe chezvikonzero zvinokonesa chombo kunatsomira kuvarume vakawanda chose.  Kana vichikwanisika pano ngapasaita nyaya dzechihure asi dzokuchengetana mumba zvakanaka. 
8Ko nhumbu inobata sei? Mimba inoita kana iwe wakandira zai uye panguva iyoyo ukapiwa urume nomurume wako, unokwanisa kuita mimba.

Verenga apo pakahi KANA WADA MIMBA
9Kubva patakaroorana, murume wangu anoti anoda Anal sex. Ini handisi kuda. ndoitawo sei? Inyaya inonetsa kugadzirisa mumba nokuti kune varume vanozvida koitawo vakadzi vanozvifarira asi kuti vanozvida vese vasangane vagoroorana zvinonetsa. Saka uciona kuti unozoziva mava kutogara mese.

Asi zviri nani kutaurirana nomurume wako mohwisisana kuti moyo wake uri papi. Kaachida zvaanoda iwe unokwanisa kuterera wozvifungira kubvua kana kuramba. Zvinobva nokuti unofunga sei.

Asi chamunofanira kuhwisisa ndechokuti kana mada kuzviita usarega achiti ambopinza kuashure ozopinza kuberi asina kumbogeza nokuti maBACTERIA akasiya zvokuti unokwanisa kuita INFECTIION. 
10 Matinji anokudzwa sei uye mukadzi anorohwa nayo rungani pausiku humwe chete?Tanga waverenga apo pakahi Kudhonza matinji. Wadao hwisisa kuti hazvina zera. Chero munhu akura anongokwanisa kudhonza. Asi hwisisa kuti chikonzero chaunoda kudhonzera ndechei nokuti hazvina chazvinobatsira uye hazvinei noumwe munhu kuzhe kwevarapi vachazokuona kana woda kuzvara. Zvibvunze wega kuti unodhonzerei.

Pnyaya yokuti kurohwa iyo. zviri kwamuri kuti munorovana kangani musi wega wega zvichibva nezera renyu. Kana muri pasi pe makore 30 munokwanisa kashanu pazuva, kaviri pazuva, kamwe chete pazuva zvichibva nokuti murume anokwanisa chii. Mukadzi haana LIMIT.  Zviri nani kubvunza mukadzi wako kuti anoda kangani pazuva uye nguvai. Vanhu takasiyana siyana. 
11Ko kuiswa nevarume vakawanda kwakaipei? Ndongonzwa vamwe vachiti kwakaipa. Kana watomboziva kuti kwakaipa watogona. Kwakaipira kuti unobata zvigwere zvechihure. Zviwe zvacho hazvirapiki saka unofa nazvo.

Kuita nyaya younhu. Kungogaroti ukaona murume wovhura makumbo hazvina unhu. Varume vacho vanongozokuona sechinhu chisina maturo.  Hapana zvazvinokubatsira.

Zviri nani kuva nomurume umwe chete anokuda pane kuita vakawanda vanongoda kuvata newe. 
12Murume wangu anonhuwa muviri wake chose asi anogeza zuva nezuva. Ndezvokuroiwa here? Aiwa bodo hapana uroi hunokwanisa kuti munhu anhuhwe muviri. Kunhuwa ganda kunoitiswa nemaBACTERIA anogara paganda rake. Haabviswi nokugeza. Pamwe anotofarira kugeza kwake. Zvokunhuwa ganda zviri kwese vakadzi nevarume asi kazhinji iye muridzi haakwanisi kuzvinhuwidza. Vamwe ndivo vanohwa kunhuwa kwake.  Saka chero iwewe unokwanisa kunge une munhuhwi wakaipa.  Umwe noumwe ane munhuhwi wake sake uchiona mapurisa achishandisa imwa kutsvaka munhu akapfuura napano nezuro.

Pane zvinhu zviviri zvinobvisa mabacteria zvinoti Vinegar ne VICKS.
Vinegar kunyororesa muviri nayo wombomira 30 minutes wozonogeza. zvoitwa kaviri paviki

Vicks kuizora semafuta womboita nguva mahawa akati kuti wozonogeza. zvoitwa nguva nenuva kana wafungira kuti une dambudziko asi VICKS inodziisa muviri uye geza maoko kana waishandisa nokuti ukabata maziso unoita rimwe dambudziko.

Verenga apa
MUNHU ANE MUNHUHWI wemuviri

13Ndingadzorawo kuzasi (mheche) sei. ndichangozvara? Verenga apo pakahi kusimbisa masuru. Kana waverenga chitobva watanga nyaya yokupota uchimira pakuweta. wozviita kusvika wachembera nokuti zvinobatsira kusazviwetera.

Kusimbisa 
14 Murume wangu ndofungira kuti ari kuhura. Smell ye perfume, plus vhudzi re wig pa jacket rake. Ini handipfeke wig. Ndoitawo sei. Ndinotya siki? Hapana zvakawanda zvaunokwanisa kuita. Kana murume achihura zvoreva kuti haana hanya newe. Chero ukabata chigwere anotokuti ndiwe wamupa chigwere.

Asi kana uchifunga kuti ane chigwere usavata naye. Ukasavata naye achawedzera kuhura futi ndosaka ndichiti hazvigadziriki.

Chero ukada kumbotaura naye uchakasira kuona kuti fungwa dzake hadzinei newe. Murume kana akatanga kuhura chikasira kuziva kuti haachakudi uye kazhinji agara asina kumbokuda iwe zvese nevana.

Asi pachirudzi chedu tinomboda hedu kuita nguva yokutambisa tichigarisana dare. asi outcome yacho ndiyoyo imwe chete. Ucharambwa, uchaita zvigwere. unokwanisa kufa.

Chihure hachina GOOD OUTCOMES. 
15Chii chinoitisa mapundu kumeso?

Chii chinopedza mapundu ekueso?

Mapundu kumeso anoitiswa nokudai. Paganda romunhu panogarobuda oiri inohi  SEBUM pachirungu. Oiri iyi kana watanga kumumudza mazamu sechihandara kana chijaya  (makore 11-14) inowandisa yodzivirira  ganda kufema zvakanaka wobva waita mapundu anohi Teenage acne. Asi unokwanisa kuita ACNE wava munhu mukuru. Vamwe vanoti zvinoitiswa nekugaroita zemo usina wekuripedza naye.
Unokwanisa kuderedza mapundu awa neizvi.
1 kana wageza kumezo mangwanani  cheka LEMON wozora muto waro kueso.

2 Kana usina LEMON zora TOOTHPASTE  pakunovata wovata wakadaro wogeza makuseni. 
16Mukadzi anogona kubva humhandara asina kubuda ropa here?Tanga nokuverenga apa pakahi UNOZIVA SEI KUTI IMHANDARA KANA JAYA. Wapedza hwisisa kuti kubuda ropa pakubva umhandara kakuitwi nemhandara dzese. Kune mhandara dzakawanda chose dzinobviswa humhandara pasina ropa rinobuda zvichibva nokuti chivharo chake chakkabatana kana kubvaruka zvakadii, uye kuti musikana akura vakadii nokuti ange achishandisei pakuenda kumwedzi.

Variko vakawanda vasingabudi ropa. 
17
Kuvhura mwana nzeve kunoitwa sei? 
Ndinovimba chose chose kuti hauna kuzama kuita chimwe chinhu pazheve dzerusvava. Please kana une chaunofungira kuti chiri muzheve dzake, tora mwana uende ku Clinic uvaudze zvakunetsa vaite vega ivo kana kuti vakutaridze zvokuita. Usazama kuita wega uye usadira mishonga yemuraini muzheve dzamwana wako kuzhe kwekuti usingadi mwana zvachose zvokuti hauna hanya nokuti akashaya zheve. 
18 Zvinoita here Murume kudyisa mukadzi kuti awedzere kumuda? Zvinoita chose chose. Mushonga wekuti mukadzi wako akude nomuyo wake wese ndewekutanga kumuda nomoyo wese uye kumuudza kuti unomuda uye kana achitaura zvaanotaura terera

Garogumbatira mukadzi wako zvikuru kana musina kupfeka pakunovata, uchipota uchimuzevezera zvinosetsa muzheve dzake, kana asina kuseka wombomusekenyadza.

Pakunoisana muudze kuti zviri kukunetsa kerega kuisana naye nokuti pese paunomuona unohwa kuda kuisana naye. Ita nguva uchimubatabata muviri wese. Kaviri pavhiki svitsa rurimi pabhinzi yake wmbomukwesha norurimi, ombochemachema aziti rukutu iwe chimubidigura avate bedumbu. Isa pillow pasi pechiuno chino chisimudzirike. Chimboita nguva uchimenya magaro nemawoko uchimunyemudza chombo. Wozoita chirango asi wogaramo kupfuura 7 minutes.

Ukadaro hakuna mushonga waunoda wekudyisa mukadzi wako, uye anokupa rukudzo kupfuura vakawanda. 
19Unganyepedzere seyi kutunda kumurume wakoKuti zvigokubatsirei? Kana usina kutunda nhasi ukati watunda zvoreva kuti mangwana murume achafunga kuti zvaari kuita zvinoenderana nokutunda obva atoshaya hanya nokutsvaka zvimwe zvaangaita. Murume ngaazive kuti hauna kutunda kazhinji iri ngari yokuti akukasirira. Saka mangwana ngaawedzere nguva. 
20Kutunda masperm akaita mvura zvinoreveiChokutanga hwisisa kuti murume anobudisa urume kwete maSPERM. urume pachirungu hunohi SEMEN.  MaSPERM imhodzi dziri muurume.  Mhodzi idzi dzakawanda chose chose zvokuti dzinopfuura pa 15 million paCUBIC CENTIMETRE  pamurume anozvarisa. Kuwanda kwemhodzi idzi hakunei nokuti urume hwakakora here kana kuti hwakaita mvura. Zviri nani hune mvura nokuti mhodzi dzinodhidha zvine sipidhi iri mberi.

Chinoitisa kuti urume hunge hwune mvura uye kuwanda murume anomwa mvura yakakwana pazuva rimwe nerimwe. Kumwa mvura kunobatsira kuti mhodzi shoma dzinge dzakaremara.
Verenga pakahi Kuremara kweurume 

21Chikapa chengwena chinoitwa seiNgwena hadziiti chikapa. Dzinongoitana zvokuti hadzi inobatwa nohono zvokuti isakwanisa kutiza, Hono yobva yaruramisa kusvika yakwanisa kupinza chombo muhadzi. Hadzi ninongosimudzira muswe zvotoitika zvakadaro. Hapana chikapa chingahi chiripo.

Ko wadireiko kuhwisisa nezvengwena? Une purazi rine mvura zhinji zvokukwanisa kuita ngwena here?  
22Ko murume akasabudisa hurume hwake muri pabonde zvinorevei? Zvinoreva kuti
1 Haana kuswera achimwa mvura
2 Ambohura noumwe mukadzi nhasi
3 Ambozvirhoja maoko nhansi
4 Haana hanya nokubudisa urume nhasi
5 Pamwe unofunga kuti haana asi iye abudisa ushomanana

Kana zvazoramba zvichiitika wondinyorera totaura nyaya yacho. 
23Chii chinozi kurova chikapa? Chikapa kukoira kwemunhukadzi achiisana nomurume wake. Kushandisa chiuno kugamuchira chombo chomurume, kuratidza murume kuti zviri kumunakira.

Zvokuzoti KUROVA hameno kuti kuitawo sei uye kuti unenge wava kurova nei, zvaita sei? Wazvihwirepi? 
24Ko kana murume achinyara kuudza mukadzi kuti anoda kumukwira zvoitwa sei? Zvoreva kuti mukadzi wacho haasi wako saka haufaniri kunge uchitsvaka kuvata naye. Kana mukadzi ari wako kuvatana hakunei kuti audza umwe ndiani. Ubasa romukadzi kukwezva murume wake. Mukadzi ndiye MANAGER wezvomumba zvese. Kana akamirira kuudzwa nomurume zvoreva kuti haasi munhu ane tsika. Mukadzi anoswedera pedo nomurume wake ozvipa kumurume kusvika amisa chombo chomurume, murume ochitsvaka kuvata naye. Kwete konovata kure nomurume kumirira kuudzwa kuti uya tiisane. Kushaya unhu ikoko. Ukadaro unohurigwa nomurume kukaita mwedzi usingatozivi kuti chii chiri kuitika. 
25 Chii chinokonzera bundu muzamu?Kana waita bundu mumazamu, zvisiri zvokuti inguva yomwedzi, unofanira kukasira chose chose kunoonekwa na DOCTOR zvanhasi kwete mangwana.
Kana usina mari kwereta. Usatambisa nguva neGOVERNMENT hospital kana uri muZimbabwe kana South Africa. Enda kwa PRIVATE. 
26Huroyi hunkwanisa  kupera kana kubva here?Hwisisa kuti uroyi maitire emunhu kwete kuti chinhu chaanacho. Kana ukaona kuti munhu uyu muroi, kureva kuti anoita zvoutsinye kune vamwe vanhu, ukakwanisa kumutsiura anokwanisa kupera uroi hwake.

Hakuna munhu anoita zviya zvinohi kufamba usiku asina kupfeka kana kutasva bere usiku kana kutumira munhu nyoka kana zizi.  Dzinongori nyaya dzevanhu vadakwa nedoro kana kuti vanoda kutyisidzira vana kuti vasafamba usiku.
Dai kune uroi dane vanhu vakaipa vakaita saana Mugabe vakaroiwa kare. 
27Chikwambo chinobvisa  umhandara here?Chikwambo chinhu chinotengeswa nevanhu vakachenjera kuvanhu vasina njere zvachose. Hachionekwi masikati kureva kuti hachipo. Hazviiti kuti chikwambo chibvise musikana huhandara. Asi kana wafunga kuudza mukomana wako mutsva nhema panyaya yokuti sei usiri mhandara, kana ari munhu akapusa unokwanisa kumuudza kuti wakabviswa nechikwambo cha baba Chari. Kana ari mupositori kana kuti munhu akazvarigwa panzvimbo yeMINE kana mamwe mapurazi, anobva atobvuma nhema dzako.

Chikwambo hakuna zvachose. Inyaya dzedoro uye makamirira bhazi kumamisha. 
28 Kuvhura murume magaro achitunda urume zvinobatsirei? Kana muri pakuisana murume akatanga kukupa urume kana kuti ukahwa kuti ava pedo, toti ari pamusoro iwe uri pasi wakavhura makumbo, wega unongohwa kuti munhu haachisina CONTROL zvunhu zvava kutouya. Pana zvaunokwanisa kuita kuti awedzere kunakigwa uye anatse kukupa urume hwese haanahwo panguva iyoyo.

1 Kumuvhura magaro woisa chigumwe pakati woti pese paanoomesa magaro nokuda kwekutunda iwe wochinja POSITION yechigumwe.
2 Vamwe vanoti unokwanisa kupinza kugumwe zvishomanana  kana Centimita imwe chete, kuchisuri chake achitunda. Kwahi zvinomuita abudise hwese urume hwaanahwo ipapo. Kana kuzomuka usiku haamuki.

3 Kupurudzira panoperera kupatsana kwemagaro pachitangira musana. Unovhura ruoko wopurudzira uchiita sokudhirowa CIRCLE ipapo wakati tsimbirire zvishoma.

Saka Zvinoita sokuti pachiuno chemurume pane zviripo. Panoungana TENSION kana oda kutunda. Iwe maitire ako chiita uchiziva zvinodiwa nomurume wako. Vamwe varume vanovhunduka kana vapinzwa chigumwe asi ukazviita otanga kutunda hapana zvaanokwanisa kuita pazviri kusvika apedza kutunda. Iwewo unenga watobvisa chigumwe nyaya yatopera.

Kupiwa urume hwakawanda kunofadza nokuti zvinotaridza kuti wange uchinakira murume. Mapedza isa murume wako pazamu abatwe nehope makagumbatirana.

29 Zvinoita here kuendesa hure remurume kumwedzi? Kana une murume anohura iwe uchiziva kuti anohura asi uchingogara naye chete zvakadaro, zvoreva kuti iwe ndiwe usingahwisisi zvauri kuita nokuti pachaita nguva yauchabata zvigwere ugokwanisa kufa nazvo.

Murume wako kana achihura usafunga kuti anohura nomunhu umwe chete. Vanhu vanohura vese varume nevakadzi vanohura nevanhu vakawanda.

Hazviiti kuti ukonzerese umwe munhu kuenda kumwedzi. Kana ukawana munhu anozvikwanisa, kasira kundinyorera tigokugadzirisa uite MILLIONNAIRE gore risina kupera.  Shungu ndidzo dzinokufungisa izvozvo asi hazvikwanisiki. Uyezve kuti hure riri kumwedzi hazvikonzeri kuti murume asahura naro. Vakawanda havachina tsika yokurega kuvatana kana mukadzi ari kumwedzi. 
30Murume wangu ava nevhiki yese asina kundis**a asi nezuro ndakamuwanikidza achichaya bo**ora. Ndagumbuka chose.  Ndoitawo sei? Varume vakawandisa nevakadzi vakawandisa kuvatana kwavo nevakadzi/varume vavo hakunei nokuzvibatabata kwavo. Manakire azvo akasiyana sezvaunoziva iwe. Saka kazhinji murume/mukadzi anoti uku ari kuvata noumwe wake uku ari kuzvinakira ega. Hapana chakaipa ipapo saka usaona sokuti ari kukumhura.

Pamwe ane chigwere chaasingadi kuti ubate. Pamwe akatsamwa pane zvawakaita zvaasingafariri. Pamwe mune nyaya dzamusina kugadzirisa. Tanga nokuongorora chikonzero chaitisa asada kuvata newe. Iyo nyaya yokuti ari kuitei kana ari ega, siyana nayo nokuti hainei nezviri kuitika. Usarambidza murume wako kuzvinakira ega, iyewo ngaasakurambidza kuzvinakira wega. 
31Kuzvara kunorwadza zvakadii? Ko sei munhukadzi achiita vana vakawanda? Kuzvara kunogwadza zvaksiyana zvichibva nokuti iwe nyamimba iri munhu akaita sei uye kuti imimba yechingangi. Mimba yokutanga inogwadza nokuti hauna EXPERIENCE uye inokwanisa kutira nguva pakuzvara. Asi zvinogwadza nokuda kwekuti musoro wemwana unofanira kukwana pakubuda.

Kana ukazvara, uchada mwana wako chose zvokuti unokangamwa kuti zvinogwadza. Kukangopera mwedzi miviri wotodazve kuvata nomurume wako, ipapo uchitoziva kuti zvinoitisa mimba futi asi unenge usina basa nazvo. 
32 Ndodawo mazamu makuru. ndine madikidiki. Ndoita sei? Kukura kwenhego dzemuviri hakusi kwekukambhira. kunongoita zvakwada kuita. Kune nhengo dzemuviri dzisingakwanisi kukudzwa. Mazamu haakuriswi nezvatinioita.

Unokwanisa kunoitwa operationasi zvhakuitisa matambudziko akawanda. Usachiva zviri pane umwe munhu nokuti nhamo dzake haudzizivi. Hapana chinobatsira mazamu makuru.

Asi ukazoita mimba ukazvara mwana mazamu anowedzera kukura kuzvika warumura. 
33 Murume wangu haatundi pabonde. Zviri normal here izvi? Kubva 2013 ndinaye. Tine vana vaviri but hapana chandati ndaonawo kuti atunda. Pane mushonga here wandingamupa.? Dai asingatundi dai musina vana. Kuita mimba zvoreva kuti mueume ari kukupa urume. Hakuna munhu anoita mimba pasina urume. Saka usazvinetsa nokuti hapana chauri kuona.

Kana murume akatunda urume hwakawanda, humwe hunozovhinza mapedza. Kana huri hushoma hapana chinovhinza. Saka kana usingaone uchivhinza. Zvoreva kuti ari kutunda asi ushoma. Urume (SEMEN) ushoma asi mhodzi (SPERM) dzakawanda zvakangofanana.  Saka usanetseka nazvo. Nakigwa nomurume wako chete chete.  
34Ndingakisa sei mukomana wangu iri nguva yekutanga ndisingatozive kukisa kwacho kuti kunoitwa sei? Kana muchida kukisana kisanai henyu asi hwisisai kuti zvinoitisa zemo uye kana maita zemo munokwanisa kupedzisira mavatana iwe ukazoita mimba. Apa handisi kuti usakisana nomukomana wako, asi kuti ita uchihwisisa zvazvinoreva. Kukisana kunonana uye kunofadza muviri.

Makisire amunoita akasiyana siyana. Hapana chingahi chakaipa kana kuti chakanaka. Zvese zvamunoita kunaka kwazvo kuri kwamuri. Maitire ari kwamuri. Asi chikuru kana wafunga kukisana noumwe mumnhu  chiita wakasununguka uchitaridza kuti ndiwe wazvisarudzira kukisana naye. Wotobatirirawo zvinotaridza rudo. Wotanga nokukisa zvinyoronyoro kusvika mese maone kuri kuenda nyaya, wozowedzera puresha uye kuvhurirawo muromo kuti musvitsane rurimi. 
35Pabonde kana murume achitanga kutunda mukadzi asati atunda anoita pamuviri here?Kutunda kwemukadzi hakunei nokuita mimba kwake. Mhomho yevakadzi vechidiki havatombotundo pakuisana nevarume vavo. Kunotozoti vati kurei vajaira kuisana ndipo vanotunda vanowanda.

Kuita mimba kunongoda murume atundire urume mukati memukadzi chete chete. Kana mukadzi akangopiwa urume nguva yake yokumwedzi ichienderana nokukandira zai, anoita mimba.

36Mishonga yechivanhu inokudza mboro nekumutsa inonziiHakuna mushonga wechivanhu kana werumwe rudzi unokwanisa kushandiswa kukudza  chombo chomurume. Hapana chakanaka pakukudza chombo. Chombo chinongokura kusvika pachadira. Hazvinei nokuti baba vako vane chakakura sei kana kuti dzimwe hama dzako dzakadii. Unokwanisa kunotenga mishonga asi hapana mushonga unoshanda.

Mishonga yokumisa chombo iriko yakawanda asi ukajaira kumisa chombo nemushonga zvoreva kuti hachichazomiri pasina mushonga.

Zviri nani kurega chombo chichingomira pachadira. Kana uchinetseka kumira chombo zvoreva kuti pane chikonzero. Enda unotariswa nevarapi. 
37Chii chinoratidza kuti munhu wandiri kudanana naye  munhu anganzi mutendi?Mutendi munhu ane chitenderi kureva kuti anobvuma kuti chinhu chokutanga Mwari variko uye vane zvavanoita noupenyu hwevanhu.

Chechipiri anotenda kuti iye anofanira kuratidza vamwe kuti munhu ano chitenderi, saka anoenda kuimba yokunamatira, uye anotevera zvakanyogwa muBhuku rinotaura nezvechitenderi chake. Iwewo kana uchida kuroorana nomutendi, unofanira kugara naye pasi mobvumirana kuti kuva mutendi kunoratidzwa sei.

Pane zviito zvinoratidza kuti munhu haasi mutendi. Kuba, kureva nhema, kushora vabereki, kuda kuvata nomunhu asiri mukadzi/murume wako, kusakudza vamwe vanhu, kushaya unhu, etc. Izvi hazvinetsi kuona.

Bhaibheri harubvumidzi kuroorana nomunhu asingatendi kana iwe uri mutendi. Kana wada murume/mukadzi, Kumbira ishe vakutaridze wavakakusarudzira. Iyewo achataridzwa iwe. Usatanga wadanana nomunhu wozoti Mwari vakubvumidze kuroorana naye. Bodo. 
38Nhengo yemurume inoreba kusvika papi?Varume vakasiyana siyana sezvatakangoitawo isu. Asi kureba kwechombo chomurume kuri pakati pe 12cm kusvika pa 18 cm kana chimire. Kukora 9 cm kusvika pa 15 cm. Varume vanohi ngochani AVERAGE yekukura kwechombo chavo yakapfuura yevasiri.
Varume vekuCongo vane zvombo zvakakura kupfuura vekune dzimwe nyika. Kukurisa kwechombo kuremara zvokuti pamwe murume haazvarisi. Kukura kwechombo hakunei nokunakigwa kwemunhukadzi asi zvinongopa murume wacho CONFIDENCE.  
39Kuvhura makumbo uri pabonde nemurume zvinobatsirei?Kuti murume akwanise kupinza chombo zvisinei kuti muri kuisana maitire api, unofanira kutovhura makumbo. Saka ngatingoti zvinobatsira kuti murume akwanise kukupinza chombo. Maitire mashoma chose asinei nokuti uvhure makumbo. 
40Mushonga wekuvhura nzira yemwana ndingamuwana kupi? Kuti mwana azvagwe hazvinei nemishonga asi kungoti zvinozikamwa kuti vanhukadzi vanowanza kuiswa vane mimba vanoita nyore pakuzvara. Saka tingangoti mushonga wekuvhura zhira kujaira kuvata nomurume wako kana une mimba, kusvika yava pedo pedo nokuzvara.

Hakuna umwe mushonga. Kuzvara kunoitiswa ne ma HORMONES saka hazvinei nokudya kana kumwa mushonga. Kuiswa kunoita mahormones awadzere. 
41Kutizirwa nomusikana chihure here? Ngatitange nokubvunza kuti kuhura kuita sei? Mhinduro yoti kuhura kuvatana nomunhu asiri murume/mukadzi wako. Pamutemo weChivanhu tinoti kana mombe yumai isina kubviswa haubvumidzwi kuvatana nomukomana/musikana wako. Iri ngari yokuti mhuri dzenyu hadzizivani uye havazivi kuti munodanana zvokuda kuroorana. Saka menge muchihura.

Musikana akazobata mimba kana kufungira kuti abata mimba, anotanga abvunza mukomana kuti toita sei. Mukomana anenga asina zvaati afunga nokuti hamuna kuwirirana kuita mimba, iwe musikana wagozvifungira wega kuti regai ndiite mimba, kureva kuti njere chaidzo hauna. Mukore uno kana wada zvokuvata nomukomana wako, chokutanga kudzivirira mimba nezvigwere.

Mukomana ati haasi kuda mimba yako ndipo paunofunga kumufumura nokumutizira. Asi kana wasvika kumusha kwake vabereki vake vakakugamuchira zvoreva kuti pakunovata munopiwa imba imwe chete. Kuvatana kwenyu kubva ipapo kwava kuzikamwa asi zvonetsa kuti tigiti hachisi chihure nokuti vabereki vako havazivi. Ukafa, havigwi kumurume uyu nokuti haasi wako. Saka chinongori chihure kusvika mombe youmai yaenda. 
42Tipeiwo mazita emishonga yokusuka musana. Hakuna chigwere chinohi kusuka musana. Kusuka chibereko (uterus/womb) hakukwanisiki kuitwa kumba, kunongoitwa kuchipatara saka iwe haufaniri kuita zvokutsvaka mishonga yacho. Mubvunzo wako hauhwisisiki nokuti hakuna zvakadaro zvinoitika pavanhu. Ask kana uri munhu uya anongotevedzera mishonga yenhema inopiwa nevanhu vanoda mari yako. Asi umwe msi uchafa nazvo.

Ndnyorere pakero inoti maichibwe@yahoo.co.uk kana une chiri kukunetsa pamoyo. Chibereko chinosukwa kana wasvodza kana kubvisa mimba kana kuita anohi ma FABROIDS. Pasina izvi chibereko chinozvigeza chega pasina hosipitari. Usapinza chinhu kuchibereko nokuti unokwanisa kufa. 
43Ndikapindirwa nemuroyi usiku ndingaita sei kuti ndirarame? Ukaona wapindigwa mumba noumwe munhu, kasira kusimuka utsvake chokurovesa munhu iyeye nacho. Munhu uyu imbavha kana kuti mhondi kana kuti munhu anobata chibharo. Haasi muroi. Hakuna muroi anokupindira mumba mako achida kukuroya.

nyaya dzavaroi dzinongova nyaya dzinoudzwa pwere. Hakuna munhu anohi muroi anokuvinga mumba mako. Usazvinetsa nenyaya dzakadai. 
44Kusura nokuzasi pakuvatana kunoitiswa nei? Inyaya inoitika kuvanhu vakawanda chose asi inoda kuti uiwhisise kuti zvisakunetsa kana zvaitika kwauri. Usarega zvichikanganisa kunakigwa kwako nomurume wako. Murume ndiye anokonzera nyaya iyi.

Verenga apo
https://maichibwe.blogspot.co.uk/2012/06/kubudisa-mweya-uchirhojewa.html

45 Mwana akaita mhepo mudumbu ndoita sei? Vana vese vanonetseka nemhepo mudumbu nengari yokuti vanomwa mukaka. Mukaka unoitisa mhepo. Kana usingazivi kuti mwana anobatsigwa sei kana ane mhepo mudumbu, unofanira kuenda kumunhu mukuru mumhuri yenyu kana kuti muraini renyu wonotaridzwa zvokuita. Unokwanisazve kuenda kuCHEMIST kunotenga mushonga. 
46Mhandara inobviswa sei umhandara? Kana uri mhandara, tanga wafunga kuti chauri kudira kubviswa humhandara chii? Varume vanoda chose kukubvisa humhandara asi kana usisina humhandara, varume havachakudi. Unopiwa mazita akawanda akaipa.

Bviswa humhandara nomurume akubvisira mombe yeumai.

Verenga apa
https://maichibwe.blogspot.co.uk/2013/04/blog-post.html

47Maichibwe, zvinoita here kubata chombo chomurume? Ndinotya kuchibata. Mese muri vaviri munofanira kudzidza kubatana pamberi. Murume obata pamberi pako okukwenya, okukwizirira, okupinza chigumwe mukati otamba nematinji ako, otamba nebhinzi yako. Iwe womuratidza zvaunofarira kuti agare achiita. Kana ada anokusveta bhinzi yako zvinova zvinonaka kupfuura kupinzwa chombo nokure.

Iwewo wotamba nechombo chake, wochipurudzira, wochirezva, kana wada wochinanzva kana kuchisveta zvinova zvinonakira murume wako chose chose.
Hapana chinotyisa pachombo asi kuti murume wako anofanira kugeza musati matanga kurezvana, Pakugeza anofunyungura ganda ogeza musoro wechombo.

Iwewo geza pamberi nesipo woona kuti chakafukidzira bhinzi chabhenengugwa nokugezwa . Usaisa mvura kana sipo kana chimwe chinhu mukati mechitubu. Chombo, chigumwe kana Tampon chete ndizvo zvinopinda muchitubu. Usaudzwa nhema navanhu vasina njere kuti isa ichi kana icho, Bodo. 
48Kuisana mukadzi akafongora zvinobatsirei? Zvinobatsira kuti manakire acho kwamuri mese akasiyana nokunaka kwemamwe maitire. Saka iwe murume mese nomukadzi wako potai muchisiyanisa maitire, nguva uye nzwimbo dzokuitra. Ndiko kuti muhwisise kuti zvinonaka zvakasiyana siyana.

49Kunyengana kuita sei? Mukomana akaona musikana waanochiva, anotsvaka mukana wekusvitsa shoko kumusikana kuti anomuda. panokwanisa kuita nguva musikana achiongorora kuti mukomana anomuda zvechokwadi here. Uku mukomanawo anenge achiedza kuratidza kuti anoda musikana. Kana nusikana akazoona kuti anodiwa anokwanisa kubvuma kudanana nomukomana.  Zvadaro kunyengana kwapera vaviri ava vava kutodanana.

Saka toti kunyengana kuonesana kuti zvinoita here kuti mudanane. Inguva inotanga panoendesa mukomana shoko kumusikana, ichizopera panoti musikana abvuma kudanana nomukomana. Kunyengana mashoko okukwezva musikana kuti akude kana uri mukomana. Asi kazhinji iye musikana ndiye ari kutokukwezva iwe usingahwisisi zviri kuitika. Anokuratidza kuti pane zvaari kukufungira asi iwe ndiwe unofanira kutanga kutaura nezverudo. 
50Murume wangu ane makore 42, Ini makore 26. Handisi kuguta pabonde. pane zvokudya zvandingamupa here kuti awedzere kuda? Makore 46 haanei nokuda kana kusada. Zviri mufungwa dzake chete. Achiri munhu wezera diki zvokuti anokwanisa kamwe kana kaviri pazuva rimwe nerimwe. Kana achingodya chikafu chine BALANCE chete ndizvo zvinodiwa. Nyaya dzokurongera munhu idzi handidzo nokuti kana watanga kudaro zvoreva kuti wotozongodaro. Muchine makore akawanda chose muchingoisana. Varume vanosvika kumakore 80 kana kupfuura asi zvinoda kujaidza murume kuwanza nokuti zvinoderedza PROSTATE CANCER,  uye kuzviwetera. Murume anogaroisana nomukadzi wake haawanzi azviwetera kana azova muchembere.

Udza murume wako kuti uri kuda kuwedzera kuiswa. Zvinonetsa varume kusaisana nomukadzi anoda kuiswa. 


1 comment:

Anonymous said...

Ndinoda kugovana ruzivo rwangu nezvekuti ndakadzosa sei rudo rwangu {jack} uye anondida zvakare kupfuura zvandinotarisira. zita rangu ndinonzi Era anobva kuAlbania.
Ndakaroora makore mashanu apfuura, tese tine vana vaviri. takagara zvakanaka kwete kusvika mai vokurera vauya kuzotishanyira. mushure mevhiki yaakaenda, murume wangu akatangawo kuzvibata zvinosekesa. Ndakavhunduka uye ndakashamisika nekuti handina kumboziva zvandaitadza. akandiudza kuti tipedze muchato wedu uye tiendewo nevana pamwe chete. sezvo ndichiziva kuti murume wangu anga asiri murume akadaro ane moyo wakashata, ini ndaingoda kutsvaga mhinduro munguva. ndiyo nzira yandakasangana naDr.Sango vakaona zvakanaka zvakawanda zvipupuriro nezvake. saka ndakamubata ndikamuudza zvese zvakaitika kwandiri. Dr Sango vakandiudza kuti vaizondigadzirira huroyi uye vakandikumbira kuti nditenge zvinhu zvandakabhadharawo. mushure mekundiroya, zvakazoitika kuti zvese muwanano yangu aive amai vokurera vemurume wangu. she made the spell too much separately for me and my husband, amai vokurera vemurume wangu vava kunyara. zvese nekutenda kuna Dr Sango vaive nekodzero yekundibatsira kubuda munyonganiso iyi. Dr Sango murume akanaka wemashoko ake. iwe unogona zvakare kubata uye zvinodzosera mufaro wako. kana iwe uchida chero rubatsiro unogona kubata Dr. Sango kuburikidza neemail yake; spellspecialistcaster937@gmail.com