Thursday 28 December 2017

Chokwadi paupenyu hwevanhu

Pano ndoda kumbotaura nezvinoitika mudzimba kuvanhu vakaroorana zvinokanganisa upenyu hwavo asi zvichikwanisa kuti zvive zvinhu zvinokasira kugadzirika kana waona kuti pane damudziko.

Kunyimana mumba
Kana uchida kuti murume/mukadzi wako atange kuhura, tanga tsika yokumuramira pakuisana kwenyu. Hazviiti kuti unyime murume/mukadzi agoita nguva refu asina kuhura kana kufunga kuti owana sei mukana wekuhura. Chihure chakawanda mudzimba chinoitiswa nouyo asingahuri nokuda kwekunyima uyo anozohura. Zvese kumurume nomukadzi kunyimwa kunoshungurudza kusvika pakutadza kuvata, kutadza kudya, kutadza kuwana rudo pamunhu ari kukunyima. Kana mukadzi/murume wako akahura, chokutanga unofanira kuzvivunza kuti ndini ndakonzera kuti ahure here?

Tinoziva kuti pavarume vanohura, vakawanda vavo vanongohura pasina chikonzero, asi pane vanohurawo nokuda kwekuti vari kunyimwa kumba.

Kunyimwa kunokonzeresa mukadzi kuhura asi variko vadzi vashoma pavakadzi vanozikamwa kuti vanohura, vanohura zvisina chikonzero chomumba.

Chinoitisa kuti munhu anonyimwa afunge kuhura inyaya yokuti kuisana kunoitwa nevanhu vane moyo iri pamwe chete. Kunoita kuti uhwe kudiwa noumwe munhu zvoreva kuti uri munhu ane VALUE. Kana ukanyimwa zvoreva kuti munhu waunoda ari kuona sokuti hauchina VALUE kwaari.

Zviri nyore kuona kuti umwe wako ane mufaro here kana kuti haana. Ibasa romukadzi muma kuona kuti mese muri kugaroisana. Mukadzi haafaniri kumurira kuti murume asvike pakukumbira. Kana murume wako akakukumbira chero kamwe chete, hwisisa kuti hausi kuita basa rako zvakakwana. Kuti munoisana kangani zvinobva nokuti anonyanyoda kuisana anoda kangani, hazvina basa kuti murume here kana kuti mukadzi.  

Munyika dzese dzenogara vanhu, zvinozikamwa kuti kana usingavati noumwe wako zvakakwana, pachawanikwa umwe munhu anokuwedzerera. Zviri kwauri iwe kuti unodei.


Kusabatsirana mabasa
Mabasa emumba akawanda uye haaperi. Anonetesa munhu aswera achimaita. Zviri nani kuti murume paanokwanisa kubatsira abatsire. Tinoona vanhu vanofunga kuti murume anobatsira mumba murume akadyiswa, asi tinoonazve kuti murume anobatsira mumba murume ane rudo mumba make.

Kana ukasabatsira mukadzi wako pamabasa emumba, zvoreva kuti iye ari kuita mabasa ake saka hamuna nguva yokutama mese. Paanozoti aneta ava kuda kunovata, achada kukasira kunovata iwe uchiri kuda zvokuona TV. Pasina nguva mava kusiyana nguva yokunovata, nhamo yenyu yatotanga. Kana ukasagadzirisa nyaya iyi, nguva ichipo, muma menyu matova nomuti une mudzi wakaipa. Pachaita dzimwe nyaya dzinobva ipapa dzakawanda dzinoputsa musha asi dzese dziri dikidiki.

Kana tichiri kudanana tisati taroorana, zvinoita sokuti tine rudo chose pakati pedu. Unoti mukomana wako akakuperekedza kumba kwako zuva rodoka, mosvika kwako, mombotaura nyaya dzisina mature. Pedzezvo iwe womuperekedza kwake, mosvikako moita nyaya, iye okuperekedza kwako. Modaro kusvika kwasviba, ipapo mai vako vakamirira kuti utange kuvabatsira kubika.

Wapedza kudya unopinda muBEDROOM mako wofonera mukomana wako moita nyaya dzisina mature. Kana wavata unorota mukomana wako iyewo anokurota. Zvese zvinoreva kuti muri kudanana nomoyo wese. Asi kana mazoroorana hakuperi gore muchidanana saizvozvo. Asizve mese munohwisisa kuti panguva yamaidanana norudo rukuru, mese maiva nomufaro wakadzika. Mange musingadi kusiyana. Ko kana mava mumba menyu sei muchiti uyu kwake nemabasa ake, uyu kwakewo nemabasa ake?  Chii chinogozha pakuita mabasa enyu pamwe chete muchiita nyaya dzenyu dzisina mature dzamaichiita muchiperekedzana.


Kurega hama dzichitonga musha wako
Kana waroora zvoreva kuti wava murume mukuru anokwanisa kuronga mhuri yake nomukadzi wake. Hapana chakaipa kutsvaka mazano kubva kuhama neshamwari asi kana wawana mazano, enda kumba undotaurirana nomukadzi wako muronge zvokuita nomusha wenyu. Kune varume/vakadzi vasingakwanisi kuvaka musha pachavo.
1 Imwe misha ine mukadzi anovaka murume asingavaki.
2 Imwe mishe ine murume anovaka mukadzi asingavaki
3 Imwe misha ine mukadzi nomurume vanovaka
4 Imwewo mishe ine mukadzi nomurume vasingavaki.

Imi pamusha penyu hwisisai kuti anovaka ndeupi pakati penyu mobva mateverera iyeye. Iwe mukadzi ukahwisisa kuti murume wako zvokuvaka musha haazvigoni, usatanga tsika yokumuitira mabasa okuvaka asi kuti unomukurudzira kuvaka iye ozoita mazano awamupa asi ariye murume mumba. Kuhwisisa kupfuura murume wako chikomborero asi iwe usadzikisa chinzvimbo chomurume pazviri.

Pese pese hama dzinouya kuzotonga vana kuti vaita zvinodiwa nehama. Vabereki venyu mese vanozama kuti muite zvavakafoira kuita ivo. Imi itai zvenyu mufambe nzira yenyu asi muchiwana mazano kubva kune vakuru mumhuri dzenyu.
Pane nyaya dzakawanda dzinotongwa nehama mumusha usiri wavo. Chokutanga ndechokuti munoita mana riini? Imi rongai mega kuti munoda kuita mwana riini. Kune vaya vanti itai mwana, vanodaro kuitira kuti mukadzi aite SECURITY. Imi kana muchiziva kuti munodanana uye SECURITY yenyu hainei nokuti pane mwana here kana kuti hapana, musaita hanya nazvo. Rambai muri pa PLAN yenyu. Hwisisai kuti kune dzimwe hama dzinoti dzikahwa kuti mukadzi ari kumwa mapiritsi emimba, panobuda mashoko akawanda akaipa chose zvokuti munoshungurudzwa nazvo.

Kana mwana azozvagwa, kune hama dzinoda kuuya kuzokuudzai nezvemishonga inodiwa pamwana wenyu. Imi ipapo mabva kuCLINIC kwamapiwa CARD rakanyogwa zvese zvinodiwa pamwana. Unotoona hama yosvika pama penyu yada kutosiya yaita zvese zvainoda kuti zviitwe pamwana wenyu asi ipapo hamuna kukoka munhu. Kana muchida kuramba kuita zvinodiwa nehama, ingotaurai kuti makapiwa mushonga wemwana kuCLINIC mukaudzwa kuti musavhenganisa neimwe mishonga kusvika mwana apedza mushonga waari kumwa. Musatsoropodza munhu auya achida kuatsira. Mufungwa dzake mwana anofanira kuitwa ichi neicho. Taurai nehama yenyu zvakanaka adzokere kwake achiziva kuti munhu anopiwa rukudzo asi pasina zvaaita pamwana wenyu.

Hwisisazve kuti kana iri hama yemukadzi mukadzi ndiye anotaura nayo. Kna iri hama yomurume, murume ndiye anotaura nayo. Usamhurisa umwe wako panyaya idzi.

Pane dzimwe nyaya dzakawandisa dzinodiwa chose nehama. Unongoona hama yauya kuzobvunza kuti vahwisise kuti muri kuronga sei kuti vagokutungamirirai. Hapana chakaipa asi kuti imi munofanira kuita sezvamaronga muri vaviri.

Kushaya mari yezvaunoda
Kushaikwa kwemari chinhu chinokasira kupokanisa vanhu vasina BOND yakasimba pakati pavo. Nyaya yemari inokasira kukutaridzai kuti muri papi parudo gwenyu. Kana mari isingakwani pane zvamunoda kutenga mwedzi umwe noumwe, munokasira kusiyana mafungire pane zvokushandisa mari shoma yamunayo iyoyo.  Sokuona kwangu kana mari iri shoma munofanira kugara pasi mese moita BUDGET yemusha wenyu. Mese murume nomukadzi munofanira kuita POCKET MONEY zvisinei kuti ishoma zvakadi. Chero 10USD pamwedzi inongonzi ndeyemukadzi/murume kuita zvaanoda nayo.

Imwe yese mogara pasi moronga mese zvokuita nayo. Mari yokubhadhara imba, magetsi, mvura, bhazi, zvokudya, etc. Kana pane yasara monyora mubhuku remari yenyu, mosungirira pamunoziva mese moviga. Mumusha umwe noumwe unoda mai vemusha vanohwisisa BUDGET. Kana mari yamunosungirira iya yawanda, munokwanisa kupokanazve panyaya yokuti moita sei nayo. Sokuona kwangu hamufaniri kushandisa mari iyoyo.
Kana mari iri shoma muma, musaisa mari muBANK muZimbabwe nokuti inoperera pama BANK CHARGES. Kugarosungirira mari iDISCIPLINE inofanira kudzidzwa pamusha.

Kare maikwanisa kutenga sefa dikidiki iningokwana zvimari zvenyu izvozvo. Mazuvano sefa dzava kudhura asi munokwanisa kugadzirisa bhokosi rine kiyi kuvanhu vaya vanoita mabasa ekuweredha.

Mukadzi ane DISCIPLINE yokukwanisa kuchengeta mari mwedzi umwe noumwe zvisinei kuti mumba mari ishoma, uyezve achizokwanisa kusashandisa mari yaachengeta, mukadzi anofanira kukudzwa chose nomurume wake. Mari shomanana yamunosungirira iyoyo inokubatsira pane zvinhu zvakaita sezvipfeko vemhuri, bhasikoro remurume rokuendesa kubasa, foshoro yekushandisa mugadheni, nezvimwe zvinodiwa. Asi munotanga mataurirana musati matenga chinotengwa.

Kusashamwaridzana pauviri hwenyu
Nyaya yokuti kushamwaridzana pauviri hwenyu inobatsirei taidzokorodza kakawanda asi ingari yokuti ushamwari pakati pomukadzi nomurume  chinhu chinokosha chose. Varume vane dambudziko rokuti vanoona mukadzi ane ushamwari navo sokuti mukadzi asina rukudzo. Handizvo. Mukadzi kana ari shamwari yako yapamoyo ndipo paanotokukudza kupfuura kukudza kunoitwa murume anongogarobhongera mukadzi.

Chimwe chinoitisa varume vasaswedera pedosa nevakadzi vavo inyaya yokuti vakadzi vakawanda vanonetseka nenyaya ye CONFIDENTIALITY panyaya dzemumba. Kana mese mukahwisisa kuti pamusha penyu ndepenyu. Pane nyaya dzapo dzisingafaniri kubuda kuenda kuvanhu vasingagaripo, zvinobatsira paushamwari nokuti munotaurirana nyaya dzakawanda. Kana umwe akaita tsika yokubudisa nyaya, zvinonetsa kumuona seshamwari.

Vavakidzani vanouya pamba penyu vachitaura nyaya dzavo asi hazvirevi kuti imiwo munofanira kungotaura zvese kuvanhu. Bodo.

Kushamwaridzana zvinoreva kuti munogovana pazvinhu zvese zvomumba menyu, uye munotaudzana panyaya dzese. Kana umwe wako akataridza kugumbuka iwewo unoshaya mufaro. Kana umwe wako achifara iwe unofarawo. Mukaparadzana munoshaya mufaro. Pakunovata munogumbatirana muchiterera moyo yenyu ichitinhira pamwe chete, muchiudzana nyaya dzinosetsa, kuri kutsvaka kuwedzera mufaro pakati penyu.


Pakaita rufu munonyaradzana, Mukatukana panowanikwa anotanga kukumbira ruregerero. Pakashaikwa zvokudya munogovana zvishoma izvozvo momwa mvura movata.

SUMMARY:
Pano ndiri kuti:
1 Ukasatevedzera zvido zvomurume/mukadzi wako uri kumukonzera kuti akuhurire. Hatisi kuti kukuhurira chinhu chakanaka, kana kuti kuhura kwese kunoitiswa newe, asi tiri kuti ukasabata umwe wako zvakanaka anokuhurira. 

2 Batsiranai mabasa emumba kuti mugare muri pedo napedo mufungwa
3 Ongororai nyaya yemari yenyu mumba nokuti inyaya inopokanisa vakawanda. Dzidzai kugara magarire anobvumidzwa nemari yamunayo kwete kukwereta kana kuba. 
4 Murarega hama dzichitonga musha wenyu asi musapokana nehama pazviri nokuti vari kuda kubatsira. 
5 Shamwaridzanai mumba menyu pazvinhu zvese. Gara uchitarisa kuti uwe wako ari papi panyaya dzomufaro, uchimubatsira kuona kwamuri kuenda noupenyu hwenyu. 

_____________________________________
UDZAI VAMWE!!!! 

No comments: