Sunday 24 December 2017

Ivai NeKisimisi Yakanaka

Veduwee. Itai Kisimisi yakanaka nemhuri dzenu mese mese zvisinei kuti muri kupi. Kune zviitiko zvakawanda zvinotyisa zvinokwanisa kuitika kwatiri tese panguva ino. Sai zvaikwanisika kuti tiregere kufamba nezvifambiso mumigwagwa zviitiitira nani. Gore rimwe nerimwe tinorasikigwa nehama neshamwari mumigwagwa, zvikuru migwagwa yedu yemu Zimbabwe isina kugadzigwa zvakanaka. 

Kana uchifamba mumugwagwa, uriwe uri kudhiraivha tinokumbirawo udhiraivhe uchihwisisa kuti mota dzakawanda mumigwagwa vhiki ino saka zviri nani kunanaira  pane kumhanya usingazivi zviri mberi. Mvura iri kunaya zvoreva kuti makomba emumugwagwa anozara mvura okona kunatsoonekwa, uye mugwagwa munyoro unonetsa kumisa mota.

Kana uri mumota youmwe munhu kana kuti mubhazi, pota uchikumbira kuti dhiraivha adhiraivhe zvisingatyisi.  Mamwe madhiraivha ane dzungu nokuda kuoneregwa saka ukamutsiura anotanga kupopota. Kana akatanga kukupopotera muudze kuti wamuka nhasi kuseni ukaudzwa nomuporofita kuti zuva risina kunyura uchaona ACCIDENT saka hausi kuda kuti iitike mumota/bhazi rauri. Kana achida hake kumhanya achidaro ngaamhanye asi chero vanhu vese vari mubhazi vaziva kuti ndizvo zvichaitika.  Uchahwa vamwe vokurudzirawo dhiraivha kudhiraivha zvine mwero.

Ngatihwisisezve kuti mumigwagwa mune zvidhakwa nembavha, nevamwe vanhu vasina unhu. Ukasangana navo mumugwagwa ita zvinhu zvako wakachenjera.

Mava kudzimba, zviri nani kuhwisisa kuti inguva yemhuri kusangana nokukurukurirana nyaya dzakanaka. Kutukana handizvo. Kupokana navanhu chinhu chisina maturo nokuti unochinja mufaro wavanhu vakawanda kuvasuwisa nenyaya yawatanga nomunhu umwe chete. Pane kuti dai wangotorana nomunhu wawapokana naye motaurirana mopedzerana, modzokera pakufara navamwe.

Murume nomukadzi Pakisimisi wonekwai muchifara kuti mhuri yese ifarewo. Isu vana mai vemba ngationewo kuti mhuri dzedu dzaungana zvakanaka. Kana murume akatanga kushushikana tora rouko gwemurume wako mopinda mubedroom wotsiura murume wako kuti asazvichipisa pane vanhu kudaro.  Kana akakuterera, kana vanhu vazoenda, mava mega, tenda murume wako  womuudza kuti akudadisa chose. Varume kana vaita zvinofadza vanoda kupiwa muairo. Tese tinoziva kuti mubairo wakanaka kupa murume ndeupi. 

Kuvarume vedu, kana ukaona mukadzi wako opopota, mutore uende naye mumba umuudze kuti hazvina unhu kupopota saizvozvo.  Kana akakuterera muudze kuti zvakufadza kana mava mega.
Umwe wenyu anokwanisa kudhakwa woita zvinosvodesa. Musatanga kupopotedzana nenyaya dzakadaro. Wana zvinosetsa useke noumwe wako nyaya iite diki. Kwete kukudza nyaya kuita sokuti auraya munhu.  Vanhu dzidzaiwo kuseka pane kungopopota nguva dzese. Kana zvakusvodesa muudze kuti zvange zvichisvodesa asi rambai muchiseka.

Kana wange usina kuonana nomurume/mukadzi  wako kwenguva refu, shandisai nguva kuyechidzana rudo. Kana wauya kumba une chigwere chechihure, enda kushop undotenga makondomu kwete kupa umwe wako chigwere.

Pakuparadzana muchawana iri nguva inogozha nokuti zvinogwadza kuparadzana nevanhu vaunodanana navo. Kisimisi inguva yemhuri pazvinhu zvakanaka. Ngatizame kuti pasaita rufu gwatanga tisina kufungira. Fambai zvakanaka mugodzokera zvakanaka munge mawana zvinonakidza zvakawanda kusvika pakuzvitaura nomufaro gore rese idzva iro ratidongorera 2018.  Tichipa kutenda kana razosvika.

Toramba takashinga pakusahurirana mudzimba dzedu. Asizve ngatiyeuke kuti kunyimana kwakaipa kupfuura kuhurirana. Kana une murume/mukadzi hwisisa kuti zvinhu zvaunazvo hazvisi zvako wega. Mava vaviri pazviri saka garai muchigovana. Hazviperi. munokwanisa kugovana zuva nezuva asi hazviperi.

Zvikuru isu takauya kubva kumhuri dzedu tichivinga murume. Usarega murume wako ichiita nzara yebonde iwe uri mupenyu uye usingagwari. Ngatiite tsika yokukwezva varume vedu vagare vari muzhezha rekuisana nesu. Tese tigowanawo mufaro pazviri.

Ndatenda chose.

UDZAI VAMWE. 

No comments: