Sunday 31 December 2017

Kushuvirana Zvakanaka Mugoredzva 2018

Ndinokushuvirai zvese zvinhu zvakanaka mugoredzva ra2018. Ndinoziva kuti mese muchashuva kuva noupenyu hwakanaka mugore iri uye muchashuvirawo hama dzenyu neshamwari dzenyu upenyu hwakanaka.

Kune vakawanda vatange tinavo muna 2017 vationeka vakatisiya muupenyu. Kune vamwe vavo vatisiya tisina kuvaudza kuti tinofungei paupenyu navo.

Kumhuri dzedu nevana vedu. Dai zvaikwanisika taikwanisa kutanga gore nokutarisa nyaya dzatakakanganisirana muma dzatichiri pakugumbukirana, todzigadzirisa. Kana uchiri pamwe chete nomurume/mukadzi wako, zvoreva kuti hausi kuda kusiyana naye. Zviri nani kugarisana zvakana pane kugumbukirana. Kutanga kwegore kunobatsira kuti tese tinowana pokutangira. tinopiwa mukana wekuregererana nokukumirana regerero.

Enda kumurume/mukadzi wako umuudze kuti zvawakaita gore ra 2017 zvokuti nezvokuti nezvokuti pakuona kwako zvakaipa uye hauna kufara nokuzviita kwawakaita. Gore rino ra 2018 uchaedzawo kuita zviri nani uye kushanda pamwe chete pakuvaka musha wenyu.

Kutanga kwegore kune zvakawanda zvamunokwanisa kutangazve mumba menyu. Rongai murangane pokutangira. Ita vhiki yese uchifunga noupenyu hwako nomurume/mukadzi wako. Vhiki ikapera garisa umwe wako pasi mutaudzane nezveupenyu hwenyu.

Usarega gore richiita vhiki yokutanga usina kufunga nokugadzirisa nyaya dziri kushusha musha wako. Kushuva hakugadzirisi nyaya. Kugadzirisa ndiko kunogadzirisa nyaya.

Ivai negoredzva rakanaka.!!

No comments: