Thursday 25 April 2013

Mai vemba kupinda chikoro

Mukadzi wemunhu pamagarire edu mazuvano anofanira kugara ane chimwe chinhu chokuti murume akashaika, iye akasara ega, akwanise kuriritira vana. Kare zvaiti murume akashaika mukadzi ogagwa nhaka nomurunyana kana muzukuru, mhuri yoramba yakatsiga. Mazuvano vanokwanisa kugara nhaka havachadi, iywo mukadzi haachadi saka zvoreva kuti ukawanikwa usina chimwe chaunoona kuti chingakupa mari uri wega, unofanira kudzokera kuchikoro.

Kozotizve vakadzi vakachenjera vanokasira kuhwisisa kuti mhuri dzamazuvano dzinoda mari mbiri mumba kuti dzimire zvakanaka. Zvino kana mari ichinetsa, mukadzi anotsvakawo basa oshanda.

Kotizve vamwe vanoti akapedza chikoro owana basa, ozonyengwa ava pabasa. Mukadzi akadai anotowanikwa achihanda kureva kuti munhu anofarirawo kuwana mari sezvinoita murume. Mamwe mabasa anozoda kuti urambe uchidzidza kuti uchengete basa. Zvoreva kuti unopota uchidzokera kuchikoro.

Vamwewo vanongoti akaona zvinoita vamwe, odawo kuzviita otsvaka nzvimbo yechokoro otanga kudzidza.

Chikoro chinoda munhu ane nguva. Mai vemba nguva havana saka vanototi vaderedze nguva yechimwe chinhu chavari kuita kuti nguva yechikoro iwanikwe. Ipapa pakusarudza kwekutora nguva, ndipo panotanga kupopotedzana nomurume. Varume vakafanana nezvana zvidiki panyaya yenguva. Murume akangotanga kuti akauya kumba owana uchiverenga mabhuku ako uchimusiya ega achiona TV, anofunga kuti mai vemba havasisina nguva naye.

Kozotiwo vamwe varume vasingadi zvachose kuhwa nyaya yomukadzi anodzidza. Varume vakadai vanefungwa dzakuma 1840 inova nguva yevanhu vaifunga kuti basa romunhu kadzi kungomirira kuiswa chete nokubika. Zvokudzidza nokushanda ndezvavarume. Kufunga kwakadai mazuvano kwangosara kuvarume vashomanana vokuti kana wakachenjera ukazviziva musati maroorana, zviri nani kumusiya akadaro wotsvaka umwe ane njere.

Chinowanzokonzera murume kuti adai iSELF CONFIDENCE inenge yakashota. Kune varume vanoti chero iye akasvika muGrade 5 chaiyo haadi kuti mukadzi wake asvike Grade 7. Vane fungwa dzokuti mukadzi anofanira kuva pasi pemurume pazvinhu zvese, hazvina basa kuti murume ari pasi zvakadii. Zvinoreva kuti mhuri yakadai yatofa nechekare.

Mukadzi ndiye ega anozviisa pasi pemurume nokuda kwekuti murume munhu akakodzera kupiwa rukudzo mumba kwete kuti anokurambidza kudzidza, kushanda, kana kuita bhiszimisi. Kana ari munhu akakodzera, chero akadzingwa basa iwe uchishanda uchiwana mari yakawanda, chero ukaita MANAGER kubasa kwenyu iye asingashandi, unomupa rukudzo chete. Dai pakuroorana taihwisisa nyaya iyi dai nhamo mumba dziri shoma.

Ndinoziva vamwe ma Businessmen vasina kana Form 6 asi vane njere dzokuronga nokufambisa mabhizimisi avo vachiri vana vadiki. Anozoti nguva yakwana oroora musikana akapedza University omuti ashande muhofisi yebhizimisi rake muchitoona kuti mhuri iyi yava kutoenda mberi.  Murume anenge achihwisisa kuti kudzidza kweUNiversity hakurevi kuti haunchadi kuwanikwa.

Kuno kwatiri kuna vamwe mai vakarambwa nomurume nokuda kwekuti vakatanga kosi yeNURSING apa vane vana vatatu mukuru ane makore 15. Mai ava murume wavo anoshanda mufactory achiita basa rokuronga zvinhu mumabhokisi usiku. Mai ava vakataura padare rehama neshamwari kuti vaida kuti mhuri iwane mari yakawanda sezvo vange vasisadi kuita umwe mwana, vana vatatu ava vaifanira kuwanawo zvinobatsira. Murume akabvunzwa kuti sei asingadi kuti mukadzi aende kuchikoro zvikahi anonosangana nevamwe varume ikoko uye anozodzidza kumupfuura.  Zvakakona kuti ahwisise kuti hapana CHAKAIPA KUTI MUNHU ADZIDZE.

Kune vakaenda kune dzimwe nyika vakanoona ikoko kuti veko vanoramba vachidzidza kusvika vatochembere, zvakavabatsira kuona kuti kudzidza mese mumhuri chinhu chakanaka, uye zvinokurudzira vana kuona kuti chinhu chinofanira kuitwa nevanhu vese.

Mumba chaimo pane zvinodiwa kuti mese mudzidze uye kudzidzisana. Ukada kuzvirova dundundu kuti ndiwe munhu akadzidza kupfuura vese saka zvokudzidza hauchadi, uchazoona imba yako yaparara.

Kusarudza zvokudzidza:
Kana uri munhu anoda upenyu pamwe chete nomurume wako nevana, uchahwisisa kuti kusarudza zvaunoda kudzidza zvinofanigwa kuenderana noutano hwemhuri. Varume vauri kuona vanohi vakadzidza vazhinji vavo vaida kuita mamwe mabasa asi zvakaramba kukwanirana noupenyu hwavo.

Vamwe vakamitisa vachiri kuchikoro ndokutozotadza kukwanisa kuchengeta mwana nokupinda chikoro kusvika pavaida.

Vamwe vakashaikigwa nevabereki ndokutadza kuwana mari yokuenderera mberi.

Vamwe vaida makosi asingawanikwi munyika dzavaigara.

Zvokudzidza zvinoda kugara pasi mese nomurume moronga kwamuri kuda kuenda. Madaro mosarudza kosi dzinoenderana nazvamuri kuda. Pakuronga apa munoramba fungwa iri pa WELFARE yevana. Pamwe vana vacho havasati vatombozvagwa asi munongoronga sokuti varipo nokuti sevabereki ndimi vanhu vanofanira kurera vana. Pane mabasa asingaenderani nokurera vana zvakanaka. Mai vemba dai vambosiyana nemabasa akadai pakudzidzira zvinowanisa mabasa.

Wongororai kuti vane mabasa amuri kuronga kudzidzira vanoshanda nguva dzakadii uye kuti vana vavo vanoona vabereki nguvai. Imiwo vabereki moona kuti mune nguva yokuonana nokuita zvitwa zvevanhu vakuru vakaroorana.Zvinhu zvese zvemumba zvinoitika zvinoda kutanga mabvumirana pauviri hwenyu.

Kuroorana
Kudzivirira mimba
Kuita mimba
Kutenga imba
Kutenga mota
Kudzidza
Kuenda kune imwe nyika.

Kozoitazve makosi anoitwa kumaUNIVERSITY anokwanisa kuita makore matatu kana kupfuura. Munoronga mese kuti zvinofamba sei, uye pakubatsirana basa remumba kuti mese muwane nguva yokuverenga nokupasa, nokurera vana venyu. Pamwe zvinoda mari kuti upedze chkoro. Kana murume achishanda achikupa mari yechikoro ari kuitira kuti mhuri yake ibudirire. Anowana STRESS yakawanda nokuda kwekushaika kwemari mumba. Pa weekendwo vana vavata iwewo woita manager weWELFARE yomurume wako. Wowedzerawo zvakaita se BODY Massage, kubika zvine balance, kuwana nguva yokuita nyaya nomurume wako, kumubvisa zemo zvine mwero mukati. Ma UNIVERSITY akawanda anokupa zuva pakati pevhiki kuti umbonodzidza wega. Murume ngaatarisire zuva iri ne WEEKEND vhiki imwe neimwe, nokuda kwezvaunoita naye pamazuva awa.

Pakushota kwemari, garai pamwe chete mugadzire BUDGET yemumba menyu, iwe wosazowanikwa kuti uri kushandisa mari pazvinhu zvisina maturo. Kana ada kukupa mari yokundorukwa vhudzi iwe chitsvaka munhu anoruka zvisingadhuri wodzoka neimwe mari kumba kuratidza kuti unohwisisa kuti mari ishoma, kwete kutofoya murume kuti haasi kutambira yakakwana.

Murume akazotanga kudemba kuti dai usingaendi kuchikoro, ndiwe waruza asi mhuri yese yaruzawo. Potawo uchiudza murume zvauri kudzidza uye kuti zvinorevei, kuti aone kuti uri kuhwisisa zvauri kudzidza. Ukaona murume oti akabva kubasa otanga atsvaka shamwari dzake dzedoro asi mukadzi wake waasina kuona vhiki yese akamumirira kumba, wana mukana wekumukwezva adzoke kumba.

Kana bopoto rikatanga mumba iwe kasira kuhwisisa kuti STRESS yakawanda mumba saka usajaira kudavira murume nebopoto, asi kuderedza hwi rako kana kunyarara kusvika apedza kutaura zvaanoda kutaura. Adaro muudze kuti unohwisisa zviri mumoyo make. Nguva yokudzidza kwamai vemba inguva inopopotedzanwa zvakawedzera. Umwe wenyu ngaaite moyo murefu.

Rudo ngaguwanzwe mumba. Zvikuru kana wadzidza kupfuura murume uchiziva kuti vamwe varume zvinovashaisa chivimbo chokuti uri kudzidzira mhuri yenyu kuti ibudirire uye chero ukasvika papi zvapo murume wako unomuda uye hauregi kumupa rukudzo uchiti nokuti wadzidza, kana kuti wava kutambira mari inopfuura yake. Shandisa ruzivo gwako kuumba mhuri yenyu kuti irarame.

Taridza kuti wava munhu wakadzidza pakuronga zvinovaka nomurume wako. Murume wako awedzere kuvimba newe nezvawanda zvaunogona zvepamusha. Hwikwa uchipa mazano ekuvaka kune mamwe madzimai murume azive kuti wava ne CONFIDENCE pamusha wako nomurume wako.

___________________________________________________________________________
Veduwee, munoionawo sei imi kuti munhu ane murume mumba agohi anopinda chikoro uku achishandawo kabasa chero kadiki. Ane mhuri mumba.

Inyaya inopokanisa vakawanda mudzimba zvikuru varume uye zvikuru kana mukadzi asvika pokuti akapfuura anobva adzidza kupfuura murume wake. Varume vekuAfrica zvokuti mukadzi adzidze kumupfuura havadi. Unokwanisa kutorambwa usi pakati pekudzidza ugoruza kwese, kuti uku waruza murume uku waruza chikoro. Nani kumuudza kuti uri kuita Diploma iwe uchiita Degree. Wozomuratidza wawana basa.

Taurai tihwe vakambozviona.

2 comments:

shepherd said...

Maita Mai Chibwe

Dzidziso iyi yaita idzva kwandiri. Enviroment yataakugara inotoda kuti madzimai edu adzidze. Kana muchikwanisa dzidzisaiwo nezvema career akanaka kuvakadzi.

Maita zvenyu

Anonymous said...

zvinemusoro here kuti mukadzi (amai vemba) vaende ku boarding school? nekuti wangu mudzimai aakunetsa nekuda kuenda ku boarding. Apa boading school yacho iri 180km kubva kumba. Ndibatsireiwo ipapa