Thursday 4 December 2014

Kudhambha kwechitubu chomukadzi

Iyi inyaya pfupi chose chose. Inobva pakusaziva BIOLOGY kwevarume zvese nevamwe vakadzi vashomanana. Ndinotumigwa mwadhi dzakawanda dzichibvunza zvokuita kwahi:

  1. Mukadzi wangu ane chitubu chakadhambha saka hapana chandinohwa kana ndichimurhoja. 
  2. Mukadzi Wangu ange asiri mhandara saka haanaki. 
  3. Ndakakwira hure rainge gaba zvaro. 
Koitazve vamwe vanofunga kuti mukadzi akavata nomurume ane zichombo zihombe anokudzwa chitubu zvokuti akazovata nomurume ane chidiki, murume hapana chaanohwa. 


Vakadziwo kwahi murume ari kuti ndine chitubu chakadhambha saka ndodii? Kwese kutaura uku kunoratidza kusahwisisa zvinoitika pakuvatana kwevakadzi nevarume. Mitauro yese iyi iri kubva kuvarume vanoda kupa vakadzi vavo GUILT CONSCIENCE kuti pane zviri pavari zvakaipira murume. Izvo bodo murume ndiye ane dambudziko.

Mukadzi asina kuzvara:
Mukadzi asina kumbozvara mwana ane chitubu chinoshinya chombo pakuiswa. Hazvinei kuti anoiswa kangani pazuva/paviki kana pamwedzi, uye kuti anoiswa nevarume vangani kangani. Pakuisana mukadzi wese zvake ari NORMAL, pakupinzwa chombo anezemo,chitubu chinokura kusvika pasaizi yechombo chiri machiri. Panongopera zemo, chitubu chinodzokera pasaizi yachange chiri mukadzi asati aita zemo. Ndizvozvo zuva nezuva chero akaiswa zvakadii. Hakuna chitubu chomukadzi asina kuzvara chinokwanisa kuhi chadhambha. Hazviitiki. Kana achitoziva zvaari kuita chinotowedzera kushinya chombo. Kusiyana kwepamberi pevakadzi kuri pakuona inohi EXTERNAL GENITALIA kureva mavakigwe akaita pamberi:

  1. Maromo
  2. Matinji
  3. Bhinzi,
  4. Kutsetseka kweganda
  5. Choya kuti chakawanda sei 

Zvimwe zvese mukati siyano yazvo ishomanana.Chitubu chisina chinhu mukati madziro acho akabatana zvokuti mhepo chaiyo haipindi. Ukapinza chigumwe chimwe chete mukadzi asina kuzvara, kana ange achiziva nezvokusimbisa masuru anokwanira kubata chigumwe ichocho kuti kwii nemadziro echitubu. Hino kuzoti chombo. Hakuna mukadzi asingachinji mafemero ake paanopinzwa chombo, nokuti anohwa kupinda kwacho. Hazviiti kuti mukadzi ohwa chichipinda murume oti hapana chaanohwa. Zvinenge zvaita sei?

Chitubu chomukadzi hachinei nokuti unomukwira zvakadii. Panongori nenyaya mbiri chete.
1 Mukadzi ane zemo uye ari kuda kuiswa. Chitubu chakanyorova mukati zvokuti chinotsvedza saka kana uchida pinza chombo.
2 Mukadzi haana zemo. Chitubu chiri pasaizi yacho iyoyo ypkuti usapinza chombo. Zvinogwadza uye hazvifanigwi kuitwa.

Kana murume achiti akapinza osahwa kuti apinza, zvinongoreva kuti ane chombo chiri pasi pe10cm ROUND kukora kwacho, saka chinjai maitire. Kana mukrume uyu akanovata noumwe mukadzi asina kumbozvara mwana, hapana siyano yaanowanapo. Iye ndiye ane dambudziko, kwete mukadzi.

Asi varume munozokanganisa kukasira kupa mukadzi COMPLEX kachitubu chake kutu chakadhambha asi iwe uriwe unofanira kuwedzera kukora kwechombo. Kukora kwechombo kunokwanisa kuti wedzeri zvishomanana kana mese muchihwisisa kuti zvinoitwa sei. Hino mukatanga nokuudzana nhema kuti heee chitubu chako chakadhambha, chii chii, mukadzi haazooni basa rokukubatsira kukoresa chombo kana kufarira kuchinja maitire kuti uhwi chombo chichikwesha pakuisana.

Hwisisa kuti mukadzi haakwanisi kudhambha nokuda kwekuiswa, zvisinei kuti aiswa nechombo chikuru here kana chidiki. Chitubu chinotatamuka kuti chombo chikuru chikwane mukati. Chombo chiya chapedza basa chabviswa, chitubu chinodzokera pasaizi yacho. Chero mahure anovata nevarume gumi pazuva, havadhambhi zvitubu. Uchatoona kuti varume vakawanda vanoda kudzokera kuhure iroro nokuti rinoziva kushinya chombo. Varume vanoti huri rinonaka kupfuura mukadzi wemumba, nengari yokuti mahure anohwisisa nyaya yokushandisa chiuno pakuiswa. Chitubu dai chaidhambha murume asingazohwi kuti ari mukati here kana kwete, hakuna munhu aitsvaka mahure nokumabhadhara mari nokusaita hanya nezigwere kuti akwire hure.

Kana une chombo chakaonda, chinjai maitire chete musina kutukana. Sokuti mukadzi oisa makumbo pamwe chete, ovata nedumbu, murume obhenengura magaro opinda neshure muchitubu. Kana kuvata nedivi rimwe chete murume ari shure, mukadzi oita sokukotama asi makumbo asina kuvhugwa, murume opinda. Usaswerotsoropodza mukadzi kuti ane chitubu chakadhambha. Zvinotokonzera mamwe matambudziko mumba menyu.

Mukadziwo ukaziva kuti chombo chomurume wako chitete, usada kumufoya nenyaya iyoyo. Chinjai maitire chete muende mberi noupenyu. Ukada zvekuhura pamwe unongosangana nevarume vakafanana nomurume wako. Varume vane zvombo zvihombe vashoma chose, uye zvinoonekwa sokuti varume vakawanda vanoita zvechingochani vane zvombo zvikuru, kungangoita dambudziko rausingadi. Wana mukana wekuguta nezviri mumba mako.

Mukadzi akazvara:
Kana azvara, kunoita 6 WEEKS asngafaniri kuiswa. Panguva iyi anofanira kusimbisa masuru yechitubu kugadzirira paanozotanga kuiswa. Zvinotora nguva kana mwedzi mitanhatukudzokera paange ari asati azvara. Kana akasasimbisa, ndipo paangahi  ane chitubu chakadhambha. Akanonoka kuita imwe mimba anoramba achisimba masuru kusvika azvarazve umwe mwana.

Musashandisa mishonga. Hapana mushonga unodiwa asi kushandisa maitire ekusimbisa masuru chete.Verenga pakahi "Kusimbisa Masuru"

Kusimbisa masuru ndakakutsanangura kare uye tese tinokwanisa kuzviita saka ngatiite. Zvinobatsira kuti kana wava munhu mukuru hauzozviitiri weti pakukosora nokuhotsira, uye pari zvino unonakigwa nokuisana nomurume wako, chinova chinhu chakanaka.

Kuudzana nhema mumba handizvo. Chokwadi chinovaka. Unoona mukadzi mukuru oisa munyu muchitubu kuti chidzoke. Kusahwisisa kuti munyu unokuvadza gana romukati mechitubu rinova rakagadzigwa kuti rive rinoita zvakawanda pamunhukadzi:


  • Kudzivirira zvigwere
  • Kunyorovesa mukati
  • Kugadzira zvimagoronga zvinochengetedza kunyorova
  • Kusaita mhoni pakukweswa nechombo.
  • Kuva ne PH BALANCE yokuti urume husafa pahunogaramo mazuva anopfuura matatu
  • Kusuka zvese zvisingadiwimo
  • Kutatamuka kuti chombo chikwane uye mwana azvagwe
  • Kudzivirira Hwema hunoita kana une utachiona. 
Hino neugino munhu otora munyu kana sipo oisa mukati uchiti nokuti murume ane chombo chitete. Kusahwisisa kuti watova kuzvikuvadza (LONG TERM). Mishonga yedu yokuudzana muzhira yokutsime iyi haina zvainobatsira. Verenga mabhuku akanyogwa nevakaita RESEARCH yacho kwemakore akawanda nokuongorora zvinoitika kuvanhukadzi vakawanda. 

Mukadzi wemba ndiye muchengeti weutano mumba. Hino ukada kuzvigwarisa iwe ndipo pauchaona kuti kugwara kwamai vemba chinhu chakaipa kumhuri yako. 

Chidimbu:
1 Mukadzi haadhambhi chitubu nokuda kwekugarorhojewa nemurume/varume
2 Mukadzi asina kuzvara hazviiti kuti ahi ane chitubu chakadhambha.
3 Mukadzi akazvara anenge ane chitubu chakadhamba kwemwedzi nehafu. Kana azopfuura ipapo zvinoreva kuti haana kuzama kugadzirisa nyaya yake.
4 Kana wazvara, zviri nani kuti utange wadzokera pawange uri usina mwana wekutanga, usati wafunga zvokuita umwe mwana.
5 Shandisai maitire anoshinya chombo kana murume wako ane chombo chitete. Iwe mukadzi kurudzira murume adzidze kuita maitire awa. Vakadzi vese vanoziva maitire anoti kana achiita anohwa kukwizwa mukati zvakawedzera. Hapadi LESSON apa. Panongoda kuudza murume.
6 Kusimbisa masuru echitubu kunobatsira pane zvakawanda
7 Kubvisa mimba iri pasi pemwedzi mitatu hakuna kufanana nokuzvara.
8 Zvinosvota kuudzwa noumwe wako kuti une chitubu chakadhambha kana kuti chombo chako hachigutsi. Saka ngatirege kutsvinyirana seizvi mumba yomuchato.

Zvadaro:
Pakukura kwemakore amunhukadzi madziro echitubu anoita matete uye ganda romukati rinokwanisa kuti chombo chichirikwesha mukati rofunuka svikanda svitete tete sviripo, zvokuti kana ozodazve kuiswa zvinokwanisa kugwadza.

Munhukadzi umwe noumwe anofanira kugaroongorora mukati mechitubu chake. Izvi zvinonetsa kuita asi ukatora grazi (mirror) ukaisa pasi ukatonona pamusoro paro ukavhura chitubu nemaoko unokwanisa kuona, zvichibva nokuti wakakora zvakadii. Pakutarisa apa uri uda kuona kuti ruvara gwepo gwakadii. unoda kuona PINK inova inoratidza utano hwechitubu uye kuti madzido akakora. Ukagara waziva PINK yako uchiri kumakore 20-40 unozoziva kana yotanga kuchinja wati kurei.


  • Wedzera kumwa mvura
  • Garoiswa nomurume musingashandisi kondhomu nokuti urume unobatsira kana husina kuvhenganiswa hwevarume vakawanda. 
  • Simbisa masuru nguva dzese.
  • Garofunga kuti unonyorova here kana waita zemo. 
  • Unohwa here chombo kukwaizirira kana chiri mukati
  • Unogwadziwa here pakuiswa?


Zvadaro tinoona kuti kana munhukadzi ava munhu mukuru ane makore anopfuura 60, kana iye nemurume wake vakaramba vachivata vese, uye iye achigarosimbisa masuru, chitubu chake chingoramba chichiita zvachaisita, asi kungoti chinononoka kunyorova zvokuti vanokwanisa kushandisa zvinonyorovesa KY jelly. Akapinzwa chombo nomurume wake anongotatamuka chitubu kuvhurira chombo kuti chikwane. Zvadaro zemo richingopera chitubu chinodzokera pasaizi yacho.

Kana ruvara gwemukati gwachinja uye wava kuhwa kugwadza paunopinzwa chombo kana kuti pakukoigwa nomurume, enda undobvunza murapi nokuti zvingangoita kuti madziro ava matete uye ma HORMONES emuviri echikadzi aderera saka pamwe unoda kuti upiwe maSUPPLIMENT.

Asi vanhu vari kuma 80 PLUS years vanongoisana vachingonakigwa kungoti kukoirana kwavo hakuna simba sekwevechidiki. Vamwe vavo vanongonyorova uye vanongosvikawo paORGASM sevechidiki. Vakadzi vati kurei vane chanzi yokuita ORGASM kupfuura vechidiki nokuti vakadzi vakawanda vanotanga vapfuura makore 30, hana dzagadzikanapanyaya yokuiswa. Vane rombo rakanaka vanotanga vari vadiki, zvikuru kana wazvidzidzisa iwe muridzi, nemaoko oko. Vekwedu vakawanda vanotanga kuziva kuti kuzvibatabata kunonaka pavanotanga kudhonza matinji vachiri kumakore 12,13,14 etc, pavanotanga kuenda kumwedzi. Kuno ku Europe vasikana vanotanga zvokumwedzi kumakore 10, 11, nokuda kwe DIET yeko ine ma HORMONES anokudza muviri nokukasira.

Musadherera chitubu chomunhukadzi. Chakasimba chose kupfuura uko kunobuda netsvina. Ndizvo muchiona kuti zvigwere zvechihure zviri nyore kuitika kune vanopinzana kwetsvina kupfuura kuchitubu. Ukapinzwa kwetsvina, ganda reko rinosvuuka nokukasira harina kusimba. Zvadaro zvigwere zvine murume zvinopinda muropa. Se HIV. Ukuwo murume acnosvuuka ganda rechombo obata zvigwere zvine mukadzi.

Ndizvi kuchii kana mada zvokuisana kwengochani, shandisai makondhomu.

Udzai vamwe!!!!
Kunyima bonde
Kuramba kuiswa

Kudzora mukadzi kuzasi

8 comments:

Anonymous said...

Nhai mai Chibwe. Mati "kukoresa chombo".Zvinofambiswa sei?

Anonymous said...

Ko chombo chinokoreswa sei nhai mai Chibwe?

Mai E Chibwe said...

Pane bhuku rakahi "The PENIS" rinotaura kuti kugarorezva chombo kunoitwa nomukadzi achiita kuti ropa rinova ndiro rinomisa chombo, rifamba zvakawedzera muchombo, zvinoita kuti chombo chiwedzere kuoma pakumira uye kuti chiva chinoti chikamira chowedzera kukora. Zvinoitazve kuti murume ajaire kubatwa chombo nomukadzi zvisingarevi kuti anofanira kubudisa urume, saka nenguva anowedzera kunakira mukadzi nokuda kwekumunonokera.

Kana uchiriwana bhuku iro imboriverenga uhwe zvirimo.

Mai E Chibwe said...

Iyi inyaya inonetsa chose nokuti Science yese inoti hazviitiki kurebesa chombo asi kukora kunokwanisika kuwedzereka zvishoma kana ukadzidziswa kuti CIRCULATION yeropa inofamba sei.

Ndichatsvaka Detail yacho ndigodzoka nayo asi zvinoda mukadzi wako ari panyaya acho. Iye anokwanisa kuva asina hanya nazvo iwe uchingozvinetsa hako.

Anonymous said...

Ini ndiri munhukadzi ane makore 28. Ndava ne 3 years ndaroorwa. Handina mwana. Hapana chandinonzwa chandingati chinonaka pakusvi***. Zinokonzerwa nei? Vamwe vanoti zvinonaka. Murume here kana ndini.

Mai E Chibwe said...

Iyi yakasiyana neyevarume vanoti mukadzi akadhambha. Ndinyorere titaure.

Maichibwe@yahoo.co.uk

Anonymous said...

Zvidzidzo zvinovaka tatenda

Anonymous said...

Mai chibwe makadii mubvunzo wangu uripakuti ungaitesei kuti unonoke kudiridzira mukadzi asati atunda