Monday 9 July 2012

Chombo chakabhendha sebanana

Regai ndigotaura nyaya iyi. Vanhu vari kuibvunza.  Pari zvino ngatingoti hazvina basa kuti chombo chakabhendha. Hazvina zvazvinoreva pane zvamuri kuda kuita.

Vanhu vanovhunduswa nezvinhu zvisina basa. Mu bhokisi remwadhi mangu makasvika mwadhi dzakawanda dzichibvunza mubvunzo umwe chetewo wokuti chigwere here kuti chombo chomurume chakabhendha. Umwe anga atoudzwa kuti murume akabhebdhera kuruboshwe anongokwanisa kuita vanasikana chete, akabhendera kurudyi anoita vanakomana chete akati tasa anoita vese.

Vanhu vanoudzana nhema chaidzo zvokuti uya nyakuudzwa anotobva atoshaya hope nazvo. Saka ndati regai ndinotsvaka nhoroondo dzazvo. Kana ukatarisa murume wako mamirire aakaita pamberi pake uchaona kuti chombo kana chimire hachina kunatsonanga mberi. Uye hachina kuti tasa serhura.

Chitubu chomukadzi chinokwanisa kunanga kwese kwese nokuti mudumbu machiiri hamuna chinhu chakachibata kuti chisafambafamba. Hazvina basa kuti chombo chakabhenda kana kuti chakati tasa. Chikuru kuhwisisa kuti pakuvatana unongonakigwa chete zvakadaro. Ukangohwisisa ipapo uye kuti kubhendha kwechombo hakusi kuremara nokuti vazhinji vakadaro unobva wagadzikana hana.

Haisi nyaya yokuti tingatopedza nguva yakawanda pairi. Ndangoiuyisa pano kuitira vaya vachangotanga kuhwisisa varume vavo kuti vasazvinetsa nekufunga kuti varume vavo vane dambudziko. Chinonetsa panyaya dzakadai ndechokuti hapana wekubvunza nokuti iye murume akakura nechombo chake asi pamwe haana kumboona zvavamwe varume zvimire saka haazivi kuti chake chakasiyana chii nevamwe.

Ukamubvunza anongokutaurira zvaanoziva. Ndipo umwe uyo akazoudzwa kuti zvinoenderana nokuti murume anoita vana vakomana here kana vasikana.

Asi pose pandakaverenga hapana kunyogwa kuti chinombokonzera kubhendha kwechombo chii. Vese vanyori vaingoda kuti tisaita hanya nazvo. Saka totarisa panyaya dzese tinoona kuti tisava nehanya neizvi

Kureba kwechombo
Kukora kwechombo
Kubhendha kwechombo

Kwahi nevanyori vemabhuku, zvinonetsa kuwana murume akati tasa chombo chimire. Vashomanana.Kana chakabhenda kudai chinokwanisa kuti chapinzwa chonokwizirira pamwe pokuti dai chakarurama chaisakwanisa kukwiza. Asi zvadaro chipotai muchiita maitire akasiyana siyana kuti chigokwazawo mamwe mativi dzimwe nguva.

Zvese izvi hazvinei nokunakigwa kwaunokwanisa kuita kubva pachombo, kana murume wako ane hanya nokuti unakigwewo, achitora nguva pakurhojana kwenyu achinonoka kukudiridzira urume. Kunonoka ndicho chinhu chikuru chete. Kana murume achikasirisa zvinoda kugadziriswa kuti usangomurega achinakigwa ega iwe uchingosiiwa uri pakati nguva nenguva. Pane zvinoda kuitwa kuti dambudziko iri riderere.

Udzai vamwe!!!!!

2 comments:

Anonymous said...

Panyaya yekubhenda iyi, handinyatsoziva kuti chii asi ndakamboudzwa nevamwe kuti. Nhengo dzevarume dzinotanga kunyatsokura (kureba zvese nekukora) Mukomana paanosvika makore gumi nemana (14 years) kusvika gumi ne mapfumbamwe (19 Years). Panguva iyi kusanduka kwainenge ichiita inogona kusandurwawo nezvimwe zvinhu zvinoenderana nemachengeterwo ainoitwa nemuridzi wayo. Mukomana kana apfeka underware yeke, nhengo yake inowanzo rerekera kudivi rimwechete apa ndipo painenge ichikura. Kujairira kurerekera diwi rimwechete kunoita kuti divi rakasununguka rikure zvinoenderana nekusununguka kwayo uye divi raka dzvanya risakasire kukura.

Kazhinji varume vanoreretsera nhengo dzavo divi rimwe. Saka dzinotozo bhendha dzakananga divi rainogara yakarerekera.

Ko vamwe vanotii?

Mai E Chibwe said...

Chikuru ndechokuti kubhendha kwechombo hakunei nokushanda kwacho pakuvatana saka hazvina zvazvinotyisa. Varume vakarurama chaizvo kuti twiii, vashomanana pasi rese.