Wednesday 25 July 2012

Kutanga wamitiswa Wozoroogwa

Kuiswa mimba nomurume pasina nyaya dzokuroorana mozofunga zvokuroorana wava nemimba nokuda kwemimba zvinofamba sei, uye zvinematambudziko here mberi? Ndiwo mubvunzo watinoda kumboongorora.

Kazhinji ukamitiswa musati mambotaurirana nyaya yokuroorana panoita nyaya dzakawanda pakati penyu. Dzimwe dzacho dzinoratidza mafungire eumwe noumwe wenyu. Zvimwe zvinotaugwa zvinogwadzisa moyo zvokuti chero zvinhu zvikazonaka, unokwanisa kuzvirangarira kwenguva yakawanda.

Varume vazhinji zvokuroora havadi kuzvikasirira asi zvokuvata nevasikana vanozvida. Panguva iyoyo mukomana anenge achingoita chiNDAZVIWANIRAPO. Kana wabvuma kuvata naye fungwa yake haimbofungi kuti pangamboita imwe nyaya. Anongoona sokuti movatana monakigwa, iye obvapo onobhosita kushamwari dzake kuti avhurigwa nanhingi nhasi. Zvokuti akusiira urume muchitubu haambozvifungi. Anongoona sokuti ndiye shasha pakukurhoja kwaaita.

Kunopera gore rese achingoti akakurhoja onoudza shamwari dzake, vokompeya manotsi avo panyaya dzokurhoja vasikana.  Kunozoti umwe musi iwe wauya kwaari kuzomuudza kuti une mimba yake, ndipo paanotanga kuita searobwa nemheni. Pedzezvo otanga kuita searoiwa akatanga kupenga. Unohwa okubvunza mibvunzo yausingakwanisi kupindura.

Une shuwa kuti mimba ndeyangu?
Watarisa maDATE ako zvakanaka ukaone kuti anopindirana nokuvatana kwedu here?
Ndiani umwe wawaudza?
Uchaita sei nemimba iyoyi?
Uri kureva kuti uchazvara mwana here?
Ko waitirei mimba iwe uchiziva kuti ndine mwe musikana?  (Ipapo wanda usingazivi)
Saka wavingei kuno kana une mimba?
Musi watakatanga kuvata tese wanga usiri mhandara iwe, ndiani aikukwira mazuva iwawo?

Hapana mubvunzo waungakwanisa kupindura ipapa. Yese ndeyekuda kuratidza kuti uri hure risina basa, risina kodzero yokuita mimba, Paaakurhoja aikurhoja achifunga kuti unohwisisa kuti uri hure risingarooreki. Dai wairooreka dai wakaramba kuvata naye. Ipapo futi dai wakaramba dai akaisa shamwari yako mimba yacho. Varume fungwa dzavo hadzina LOGIC. 

Kashoma kuti angobvuma kutimimba ndeyake abve afarawo nazvo kuti ava kuzoita mwana. Kashoma kuti akasire kundoudza hama dzake kuti kwaita musikana ane mimba. Kashoma kuti agare newe asi akusapote pakushushikana kwako nemimba iyi uye kuti mese muite mazano nayo.

Saka tinowanzoona murume achikuita PROHIBITED IMMIGRANT kumba kwake nekuhama dzake. Anokwanisa kutoudza shamwari dzake dziya kuti “Hure riya rava kuzama kuti rine mimba asi harina. Kuda kundijairira.”

Vamwe vanotosvika akuti vanoda kunotogwa ropa kuti azive kuti mwana ndewake. Ipapo ndiye ega aingokukwira achitoti akakudira urume obatwa nehope kuita sokuti uri mukadzi ake. Haana kumbotenga kondhomu kana kubvunza kuti unaro mubhegi mako here. Aingopinza yakadayi inhu yake. Handizivi kuti varume havahwisisi BIOLOGY here kana kuti kungopusawo kwavo vese.

Kunozoti mimba yapinda mufungwa murume oziva kuti haicharegi kuzvara mwana ndipo paanokuudza kuti usamufonera, usataura naye, usauya kumba kwake kana usingadi rufu. Anokuudza feya feya kuti haachakudi nokuti hauzi munhu kwaye. Iwe unoita matambudziko akawanda mufunga.

Kana uri kuZimbabwe, unokwanisa kutiza mukumbo woenda kuhama yake yaunoziva. Kana uri munhu uya wekuti waingokwigwa usingazivi hama dzomurume, unenge usina kwekuenda nokuti hazvibvumigwi nomutemo weCHIKARANGA kutizira kushamwari yomurume. Kana watizira kuhama, terera uhwe mashoko anotaugwa ipapo. Hama dzinoudzwa kuti une vamwe vakomana. Ndakambohwa umwe achiti hazviiti kuti mimba ndeyake nokuti akangovata newe kamwe chete.  (Pakadai anoda kutwana munhu anotsanangura kuto  urume hunobuda pakuvatana kamwe chete hunokwana kuita vana vanozadza Harare yese)

Unoti wakagara padare romusha wavo, hama dzake dzichibvunza kuti zvakafamba sei iye achikurambira ipapo uripo uchizvihwa wega, asi ndiya munhu awaichemerera achikukoira kusango, mumota yake, mu Flat rake, pasofa rokumba kwasekuru vake. Asi nhasi ava kuti mimba haisi yake. Zvinofamba sei nhai varume?

Hama ndidzo dzinotozokurudzira asi iwe unosara une chigumbu pamoyo nokuda kwemashoko awahwa achirebwa nomurume wako pane vanhu amusoro pako.  Kuhama dzako kutotaugwa mashoko akawandawo ekumhura maitire awaita. Vabereki vako vanomboshupikawo nazvo nokuti vanenge vasingazivi kuti murume wako achada kukuroora here kana kwete. Nyaya yokuti mwana wavo akabvisa bhurugwa akatorhojewa nomurume inyaya inonetsa kuti mubereki aifunge. Zvikuru baba vako.

Pakuzoti wawanikwa wagara mumuba muya mawakambopiwa PI nomurume. Fungwa yako haihwisisi kuti murume abvuma nokuti wakaita mimba yake here kana kuti anokuda zveshuwa. Ukaterera masdhoko ake okusvotesa pamunotukana unokwanisa kuhwisisa nyaya yacho kuti iri papi. Pane vamwe varume vanongozoona kuti bheta achingorega mukadzi agare asi zveshuwa anenge asingamudi, zvikuru kana anga ane vasikana vaviri, iwe wongova wekutanga kuita mimba. Mukangotukana panotobuda mashoko akawanda ipapo.  Mese muchaomesa moyo kuti mugare mumba menyu asi uchiti ukafunga wega unoziva kuti dai usina kuita mimba dai usipo pamusha apa.

Kuwanikwa nokuda kwemimba hachisi chinhu chakanaka. Zvinokwanisa kutora makore akawanda kuti udzikame mumusha wako. Kana une mukomana wauri kurhojana naye izvozvi, hwisisa kuti unokwanisa kunetseka naye kana waita mimba zvausingafungiri kuti ungaita. Kana uchiona kuti munodanana uye mava azera rokuti mungangozozoorana, muudza kuti unoda kubuda pachena kumhuri dzenyu kuti vakuru vazive kuti uri musikana wake uye iye mukomana wako. Ukaona achiramba kubuda pachena chitozova kuti zvinhu zvikaipa uchanetseka nokuti haakudi sezvaunofunga kuti anokuda. Gara pasi uhwisisane naye kuti sei asingadi kubuda pachena.

Kana une mukomana waunoda chose asi hamusati matanga kuvata mese, usavata naye zvachose kusvika mabuda pachena kumhuri dzenyu.

Apa ndupo panonetsa vanhu vakabuda munyika yedu vakaenda kune dzimwe nyika. Unokwanisa kusangana nomukomana ugotadza kuziva hama dzake kana shamwari dzake chaidzo. Asi ipapo unoona mukomana achikupa puresha yokuti ubvise bhurugwa. Vasikana vazhinhi vanosangana nevakomana mumabhawa nomumanight club hazvivanetsi kubvisa bhurugwa nokuti kazvinji saka chero akaita mimba ane maitire ake okudhila nayo. Asizve ndivo vanhu vakachenjera azviri zvokuti anotofamba ane makondhomu ake mubhegi, uye anohwisisa kuti kondhomu rikabvaruka anomukira kundotora MORNING AFTER PILL. Hino ava vamwe vasikana vane vabereki vanovadzidzsa kuti munhu ane unhu haaendi kunzvimbo dzakadai, anokwanisa kusangana nemukomana kuCOLLEGE kana university ofunga kuti munhu kwaye. NNdipo panotanga dambudziko.

Vakomana vanoita zvokuverenga mazuva kubva musi wawasangana naye kusvika musi wawamubvisira bhurugwa. Anoziva kuti kana ukaita mazuva mashomashoma, wakatombozviita kune umwe murume, asi kana ukaita mazuva akawanda uchimbotanga wamuziva zvakanaka, zvinokwanisa kureva kuti hauna kujairira kungobvisira varume bhurugwa. Asizve kune vasikana vanohwisisa nyaya iyi zvokuti akazosangana nomukomana waanoda chaizvo, anomurambira kwenguva.

Kubata mimba yomurume wausina PROMISE yakasimba naye kushaya njere. Ukaterera vakomana vachiita nyaya vachitiseka unohwa vachiti:
-Ndakamuudza kuti handipinzi yese ndoosaka akabvuma
-Ndakamuudza kuti handikudiridziri urume mukati.
-Ndakamuudza kuti ndikasapinza ndinoswera yakangomira uye zvinogwadza
- Ndakamuudza kuti ndakatesitiwa ndikanzi handizvari

Idzi inyaya dzatova nemakore hameno kuti mangani dzichitaugwa asi vasikana vanongobvisa mabhurugwa nadzo. Chinhi chinotikanganisa musoro isu vakadzi kufunga kuti ndini ndamisa chombo kudai saka ndini ndindofanira kuona zvokuita nacho. Bodo murume wese wese anongomisa chombo pese pese paangofungira kurhoja. Pamwe chinotomira asingazivi kuti chamira. Zvinotanga ari mudumbu mamai vake. Azozvagwa chinomiswa nokuda kuita weti chaiko. Saka iwe usatombozvinetsa nokufunga kuti ndiwe waitisa kuti chimire.

Kana watanga kuhwa muviri wako uchiita zemo kana une mukomana wako, ziva kuti unokwanisa kuita mimba. Chitanga wakurudzira mukomana kuti mubude pachena. Madaro chiendai kuTEST yezvigwere mese mugopanana magwaro acho. Muno muUK hazvimbonetsi. Ukangovaudza kuti unobva kuAFRICA vanokukasirira chaizvo. Madaro chigarai pasi mutaurirane yeCONTRACEPTION. Kana mada makondhomu chigarai munawo mese uyu kwake uyu kwake. Makondhomu haanetsi kuwana, unokwanisa kumatenga pa Petrol Station, mu Chemist, muSupermarket, kana kuita Mail order. Tauriranaizve nyaya yokuti kana pakaita mimba zvohwimwi. Iwewo one kuti hauiti mimba murume asina kubvuma kuti uite.

Mimba inokanganisa upenyu hwako kana usina kuipurana. Unokwanisa kusiya chikoro, kurambwa, kudzingwa pamba navabereki, kutadza kuzotsvaka basa nokuti hauna munhu wekurera mwana, kuzoshaya munhu anokunyenga achida zvorudo chaizvo, etc. Mimba haisi nyore kuiita usina kunyatsoziva zvichaitika. Mwana uchamurera sei? Chero murume akabvuma kuti anoda kukuroora, mese mokwanisa kunge musina mari yokurera mwana, mopa vabereki venyu nhamo nazvo.

Udzai vamwe!!!! 
kuroora mukadzi ane mwana

No comments: