Kubva musi wamunotanga kugara mese mumba hwisisa nyaya iyi nokuti
uchakuparadzanisa nomurume/mukadzi wako panguva inouya. Hwisisa kuti munofanira
kundovata nguva imwe chete muupenyu hwenyu hwese makaroorana.
Kana uri mukadzi, hwisisazve kuti unofanira kupa murume mvumo
yokukurhoja chero uvete hope dzakadii. Unongomuudza kuti atange apabatabata
kusvika panyorova, kana usina kumuka nokubatwabatwa achikwanisa kupinza
ngaapinze iota zvaanoda ovatawo. Ndiri kutaura hangu somujee asi nyaya iyi
inyaya huru chose inoparadzanisa vanhu mudzimba. Pane varume vanopepuka usiku
obva ada kupinza chombo mumukadzi wake. Chombo chomurume chinomira chega avete
kakawanda (Average 8 times) zuva nezuva. Zvinokwanisika kuti anopepuka chakamira
iwe uri kutoridza magwiriri uripo, magaro ako ari padumbu pake. Anokwanisa
kungokuunganidza zvakanaka okusimudza gumbo otopinza. Jairira kuti ukahwa
murume obatabata pamberi iwe wosimudzira iye opinza. Inguva yake yokupedza
zemo, yako yokumubatsira. Ndiro basa rako. Dai usina chitubu dai asina
kukuroora.
Pamuchato wenyu makabvumirana kuti musazotarisira kuvamwe vanhu
pauviri hwenyu. Chii chaunoruza kuti murume wako akupinza chombo ukamuka
kuhope. Haana umwe mukadzi wekuita naye. Chaunogumbuka nacho chii ipapo?
Ingovata une fungwa yokuti angangopinza chero nguva pausiku. Hino kana
makatovata muchiti mukashanyarika mokwizana muviri iye agara achingoti chero
avete ega chombo chinomira kakawanda, chinotowedzera kumira kana iwe uripo.
Ndiri kukurudzira tese vakadzi kuti zvimwe zvinhu tisu tinozvipa madambudziko
nokusahwisisa nyaya dziri pachena.
Endai munovata nguva imwe chete. Nguva yokuvata inguva yakakosha
pavanhu vakaroorana. Munotokwanisa kuita ROUTINE yenyu ipapo. Pane zvinoitwa
zuva nezuva. Kugeza, Kunyengetera kana muri vatendi, kuita nyaya. Kurhojana,
kuvata. Zvino ukanovata wega hauzvikwanisi zvese izvi.
Hezvino zvinotanga kuitika mumba. Unoona umwe oenda kunovata ega
achisiya umwe wake ega. Kana wafunga zvokunovata udza murume kuti wava
kukotsira womuti hendei tinovata, kwete kungoti Ndava kunovata ndakaneta. Ziva
kuti welfare youmwe wako iri mumaoko ako. Ukangomuudza kuti wava kunovata
unenge usina kumukoka kuti muchinovata. Kana ane zvaari kuita zvaanoda kupedza
asati avata, gara pasofa uvate hope. Achakumutsa kana apedza. Unokwanisazve
kumuudza kuti akumutse paanouya kumubhedha. Ukashandisa vara rokuti PURIZI
ndimutse kana wouya. Ndofanotungamira. Anouya okumutsa moita kanguva kenyu
movata mose. Chinhu chaunofanira kupedzisira kufunga usati wavata murume/mukadzi
wako.
Zvokuti uyu waenda kunovata uyu wozotevera hazvishandi mumba shuwa
munoparadzana mafungire. Ndinoona mwadhi dzakawanda dzichitaura nyaya dzisina
musoro. Kwahi “Ndakaenda kunovata ndokusiya murume ari pakombiyuta
ndokuzopepuka ndokuwana achitamba nechombo chake akatarisa pikicha yomukadzi
asina hembhe pakombiyuta. “ Ukabvunza munhu wakadai kuti ko wange wasiirei
murume ari ega iwe uchinovata, unoona asina mhinduro yacho. Ndipo unohwisisa
kuti mumba mavo mukadzi uyu haazivi kuti basa rokuronga nguva yokuvata nderake.
Ipa murume invitation yokunovata. Mukutaura kwako taridza murume kuti kune
maBENEFITS akamumirira muimba yokuvata. Kana asimuka akauya, ratidzawo kufara
nazvo womupa zverudo.
Kana murume akaneta achida kunovata iwe tevera unovatawo. Chero
mukasarhojana ipa murume MASSAGE pamuviri wake wakaneta iwoyo avate zvakanaka.
Zvikuru varume vakamwa zamu ramai ukamupa zamu kurimwa, kuribata, kuriisa
pachifuva pake makatarisana anorerusa muviri obva avata zvakanaka. Akatanga
kumwa zamu chigadzirira kurhojewa. Nyaya ndeyokuti ivapo panguva yaanonovata.
Ivai mese kwete kuti uyu uvete uyu ari kurava bhuku muneimwe room.
Kana mukajaira kuvata nguva dzakasiyana upenyu hwenyu hwatochinja
kusvika hameno. Kana wakachenjera zama kugadzirisa panhu apa. Endai munovata
nguva imwe chete.
Ukatarisa vanhu vane madambudziko mudzimba dzavo uchaona kuti
chokutanga chavanoita kusiyanisa nguva dzokuvata. Chechipiri kunyimana rhoji.
Chechitatu kupopotedzana nguva dzose. Chivagarisa pasi ubvunze kuti sei
muchisiyana nguva yokuvata unohwa votaura nyaya dzakawanda dzisina musoro
panyaya yokuroorana. Ndakambohwa umwe murume oti mukadzi wake haamutereri. Ini
ndokubvunza kuti wakapedzisira kutaura naye nyaya inokosha riini, zvikahi
paKisimisi. Ipapo tanga tiri muna May. Mukadzi anoterera sei kana murume achida
kutaura naye kamwe chete pamwedzi mishanu? Kana muchitaura zuva nezuva nyaya
dzese dzese. Kuzoti wowunza nyaya huru, munotererana.
Kana muri kumashift muchiti umwe ari kupinda umwe achibuda.
Pamunosangana ipapo panoita hafu yeawa, kana uchiziva kuti murume ari kusvika
na hafu sikisi ini ndichizobva pamba na sevheni, inguva yakawanda kumuitisa
hope iyoyo. Achingopedza rhoji iye ovata ini ndomuka ndogeza ndoenda kubasa.
Kwete kuita vhiki yese musina uchiti nokuti uri pa Shift. Hazvisirizvo. Mabasa
ndeekuwedzera mufaro wedu kwete kuutapudza.
Kana uchida kuverenga bhuku rako usina anokutaudza, tora hako
bhuku rako uende kumubhedha asi kana nguva yokuvata yazvika, tsvaka umwe wako
umuudze kuti auye kuzovata. Bhuku rako tsve pasi opa murume 100% attention
sezvaunodawo iwe kana usina bhuku rokuverenga. Unokwanisa kutotaurira murume
zvawaverenga momboita nyaya.
Kana une Assignment yokuchikoro, Ita assignment yako hako asi ziva
kuti kudzidza kwakanaka ndekwekuti murume asazoona sokuti ava pa COMPETITION
nemabhuku ako. Ndizvo zvinoitisa kuti vamwe varume vazoona sokuti kudzidza
kwemukadzi hakusapoti musha, nokuti mukadzi anenge asisina nguva yokuona murume
wake. Pedza Assignment yako woisa mabhuku uko pasi, womboona nezvemurume.
Mapedza murume anokwanisa kuvata iwe wodzokera kuassignment. Iye ndiye
anotozokuudza mangwana kuti pedzisa hako tozoita mangwana. Anenge aona
dedication yako paari kuti haina chingaibvisa. Pamazuva akadai ndipo
paunofanira kugaromuudza kuti kana achida kukumutsira rhoji ngakumutse, kana
kukupa uvete hope ngaakupe.
Kuda kukasira kuvata uchisiya umwe wako ega chii chinenge
chaitika? Uri kutizei? Kana pane nyaya zama kuigadzirisa. Kutizira kumubhedha
harisi zano rakanaka iroro. Kumirirawo kuti umwe wako abatwe nehope usati wamutevera
kusahwisisa kuti sei makachata. Kana une dambudziko naye gadzirisa. Kana
usisamudi muudze aende kwaanoenda. Kana muchiri mese itai zvevanhu vari vese.
Umwe wako kana achigarosara kana kukutangira kunovata muudze kuti
zvakaipa pavanhu vane rudo izvozvo. Ziva kuti pane nyaya yakaipa pakati penyu.
Mubvunze kuti inyaya yei uye mungaigadzirisa sei? Musi waanouya kuzovata nguva imwe chete newe,
ratidza kuti wazvifarira uye zvinoitisa maBenefits akawanda. Muri pakusawirirana apa, ukawana achitarisa
mapikicha pakombiyuta yenyu, usaita nyaya nazvo. Mirira mava kunovata mese,
womutsanangurira kuti zvese zvaanotarisa pakombiyuta unazvo uye kana achida
kutarisa chero nguva ngaangotaura umutaridze.
Kana umwe wako anonoka kuuya kuzovata, ngaawane wakasvinura
wakamumirira, womuudza kuti wanga wakamumirira sezvaunoita musi umwe noumwe
waanonoka. Uchaona ochinja maitire.
Vasikana, ngatitore michato yedu sezvinhu zvakakosha,
tokurudzirawo varume vedu kudaro. Tovakurudzira nezviito zvedu mumba. Kunonoka kutsamwa,
kuderedza kupopota, kusatuka murume, kuziva kuti muchato ndewavaviri saka ini
ndoita zvangu kuti iye akwanise kuita zvake. Mangwana kana zvinhu zvozoshatawo
hazvo ini ndenge ndambozama pandinogona napo. Nguva yokuvata inguva yedu tese,
Quality time yokuti tiiwane tese tokwanisa kuudzana kuti RARA Zvakanaka. Chinhu
chokupedzisira kuona usati wavata murume/mukadzi wako.
Udzai vamwe!!!!
No comments:
Post a Comment