Monday 2 July 2012

Kurera vana


Kana mwana akazvagwa akakurira muimba ine rudo munoona achizoitwa munhu ane rudo kana awana mukadzi/murume wake. Vana vanodzidza kuita vabereki kubva kuvabereki vavo. Mukaona mwana ane hasha, zviri kubva kuvabereki. Mukaona murume/mukadzi anohura, zvakabva pavabereki. Munhu anoba, akazviona kumba kwavo. Zvizhinji zvatinoita zvinobva kuvabereki vedu. Mwana haazvagwi achizva chinhu anotodzidzira mumba.

Pane zvimwewo zvaunoona kuti anazvo asi zvange zvisiko kwavo. Izvi anenge azvidzidza kubva kushamwari  asi zvabva pakuti haana kudzidziswa zvunhu zvune uremu navabereki vake achiri mwana mudiki.

Vanhu vakawanda vanopedza upenyu hwavo vachitsvaka rudo vasingaguwani. Kusahwisisa kuti ukapa umwe munhu rudo anokupawo rudo kana ari munhu akakana. Rudo gunotanga uri mwanana uchiiwa navabereki vako vese, kwete mi chete kana baba chete.

Vana vanhu vakachenjere zvokuti vanodzidza zvakawana kubva vari vadikidiki.  Mwana achikura anokasira kuziva kuti zvinhu zvinokosheswa navabereki vake ndezvipi.  Kana mugere mumba menyu, zvikuru muno muNgirandi. Unoona munhu aria sofa nembwa yake vana vari uko kwavo vega. Vakatanga kutaura vopopotegwa kwahi ndiri kuona nyuzi pa TV. Ipapo mukadzi agerewo kusofa rake ega.  Ipapo mwana achikura anohwisisa kuti imbwa ndiyo inokosha mumba muno. Kana akachemedzwa anoenda kubedroom yake ondochema ariko asi vabereki varipo.

Kana muri mumba menyu baba namai vogara pa sofa rimwe vari vaviri vana vachiuya kuzogara pamakumbo ababa, amai vombindikigwa vofara vobva voenda kunotamba. Kukura kwavo vanoziva kuti baba namai vari pamwe. Kuchikoro vakahwa umwe achiti ndiri kunoona bhora nemukomana wamai vangu, vanotoshamisika kuti chinohi mukomana wamai chii?

Mwana akagumbuka akatanga kuchema unouya ochemera pamakumbo emubereki wake, ovaraidzwa kusvika anyarara ozobvunzwa kuti zvaita sei otaura zvaitika nyaya yogadziriswa.

Mubereki anoti koda kusviba wotora imbwa yake oenda nayo kufambafamba achiikandira bhora ichinotora ichiuya naro.  Oita awa yese ariko, ozodzoka ada kuona TV vana haambotambi navo bhora kana kufambafamba navo. Vanokura vachidzidzswa chii ipapo. Kuzoti vava nemakore anosvika gumi nemaviri woona votopiwa makondhomu kuchikoro iwe wozomaonera mubhegi remabhuku. Kuti uchitaura naye kwahi mai muri OLD FASHIONED.

Baba name vanouya kumba vakadhakwa  voita zvisina mature mumba vanavachiona. Muri kutodzidzisa vana zvokuzoita vakura.  Kupopotedzana vana varipo moudzana mashoko akaipa. Tirongo akatuka mukadzi wake ane vanhu kwahi usandibvunza zvekuhura iwe. Ndakakuwana usiri mhandara saka hapana chaunokwanisa kundibvunza.  Ipapo mukadzi ange atevera kumba kwehure ashaya munhu wekusiya vana naye ndokutevera navo. Murume otanga kupopota mukadzi ati Baba Mwana hendei kumba.  Heee Handiudzwa kwekuenda nomukadzi ini.  Unoda kundidherera.

Hure riya nava vakangoterera.  Kana vana vakura vanozoitei nevavakaroorana navo?  Mwana ngaakurewo asingatombozivi kuti baba namai vanombotukana.

Veduweeka, hakuna chinhu chinotyisa mwana panokufungira kuti baba namai vava kuda kurambana nokuti mai/baba vava noumwe munhu.  Uya mubereki asara nevana uchavaudza kuti mai/baba venyu havachandidi. Vana vokura vachifunga kuti rudo ndegwetembarari.

Ukatarisa kuEurope ne North America unoona vanhu vakakurira mudzimba dzisina vabereki vaviri kana kuti vana vakanoitwa mubvandiripo kuti  maitire avo akatosiyana nevamwe uye michato yavo haigari makore akawanda. Ivozve upenyu hwavo hune matambudziko akawanda.  Rudo pakati pevabereki chinhu chikuru chose. Vana ndipo pavanodzidza kuti rudo chii.

Mumba kana ukanonoka kwauri kubva, unongofona kumba woti baba/mai boy ndabatikana nezvokuti . Usavata ndisati ndasvika pane yandakakurongera. Chirega nditaure nevana vasati vavata. Unotozosvika uchiwana kapu yekoko yakakumirira.

Kana pane kwaunoda kuenda, taura kuti ndichamboinda kwanhingi ndodzoka nguva yokuti. Chero ukazononokawo hako umwe wako anoziva kwauri.

Kukaita nhamo mumhuri garisa mhuri yako yese uvaudze kuti kwaita nhamo yokuti tobatira pamwe chete takadai. Vana vokurawo vachiziva kuti kunomboita nhamo asi tikabatira pamwe inoreruka. Ivo vana ivavo unombopotawo uchivabvunza mazano. “Ko nhai Mharidzo, kana nyaya ikadai uriwe ungaita sei nayo?” chiterera mwana achizama kurhizena nayo iwe uchibatsira uchibvunza mibvunzo inoita aone zvimwe zvokuita.  Kana uchida kugadzira zvinhu amba sokuti uri kuda kuisa RoCKERY mugarden, gara asi nevana modhirowa mapikicha okuti inobuda yakadii. Zvoita sokuti mabatsirana kufunga. Vana vanokura vachiziva kuti kana tiri tese tinogona kuita zvakawanda.

Kufundumwara zvinomekwa nevana munhu woita vhiki yese akati kwindi sezizi radzinganiswa negondo. Hazvisizvo.  Kana une nyaya nomurume/mukadzi wako gadzirisai ipere modzokera kurera vana venyu. Kana muchida kutukana tsvakai munhu anorera vana imi mopinda mumota yenyu monopopotedzana muri ku Layby modzoka matonhora.

Hama dzenyu ngadzibvumidzwe kuona vana. Iyi inyaya huru chose zvikuru kuno kunyikadziri kure kune hama shomanana.


UDZAI  Vamwe!!!!!


No comments: