Friday 20 July 2012

Kugera pamberi


Mazuvano vashoma vasikana vasingageri pamberi. Mubvunzo ndewekungoti munhu ogera zvokusiya vhudzi riri doko kana kuti kutobvisa zvachose. Hameno kuti moti chii nazvo imi.

Pano ndoda kutsanangura kuti panogegwa sei. Regai ndimbonounganidza zvigero zvacho ndigotsanangura ndichizviona. Vasingadi kugera motiudzawo kuti munozviita sei. KuchiISLAM mukadzi wese haabvumigwi kuita vhudzi pamberi kana muhapwa. Ikozvino ndoona kuti nyika zhinji dzava pachiISLAM panyaya iyi.  Vashoma vanhukadzi vanogara nevhudzi pamberi mazuvano. Kune varume vakawandawo vanogera pamberi pavo.

Timbotaura kuti vhudzi pamberi rakaipei uye rinoita basa rei?
Zvinonetsa kuhwisisa kuti sei vanhu vakatanga kugera vhudzi repamberi asi ukatarisa HISTORY yomunhu unoona kuti varume ndivo vane vhudzi mumuviri kuphuura vakadzi. Vakadziwo voita vhudzi mumusoro kupfuura varume. Murume unowanika achitova nevhudzi kubva pamberi kuupfuura paguvhu, abva aia rime futi pachifuva. Hino mukatdzi ukaita vhudzi pachifuva zvingatoshura. Chifuva chomukadzi chine ganda akatsetseka chose uye rakanyorovera Ndohwa varume vachitaura kuti zamu rinovayeuchidza mai vavo.

Isu tiri kuPRIMARY SCHOOL taiti tichibva kuchikoro, vakomana vombomira pane jecha, voumba zvikomo zvejecha voti ndiwo mazamu aanamai vavo. Vobvunzana kuti ndiani akashinga zvokuda kuputsa zamu ramai nhingi? Waizooona umwe adherera ondoputsa zamu ramai vewaanodherera, zvibhakera zvotanga ipapo kwahi waputsa zamu ramai vangu. Nanhasiwo umwe murume akabata zamu remukadzi asiri wake, zvibhakera hazvitani kuitika.

Pamazamu emukadzi panhu pakakosha. Kuti pazoita vhudzi hazvinganaki. Saka mukadzi anomera vhudzi ipapo anotoenda kuchipatara kundokomburena kuita sokuti ane chigwere. Asi murume anotohi ane ropa rechirume chairo kana ane vhudzi pachifuva.

Kuti mukadzi aite vhudzi padumbu futi hazviiti. Vakadzi vakawanda kana atoita vhudzi pamberi anongoita chakaita chibhibho pano amusoro pebhonzo riri pamusoro pebhinzi.Kana odzira zasi anongoita tuvhudzi twakatarangana. Vhudzi rancho harikuri zvakawanda kana karisiya rakadaro.  Sesu vamwe takanonoka kuziva varume taingorega zvakadaro nokuti hapana aizviona.

Kozoti watanga kugara nomurume, unoona murume achicherekedza kuti chisango ichi chabva nepi, Asi iye ipapo and rake zi RAIN FOREST chairo rekuAMAZON. Ndipo ndakamuka umwe musi ndikamubvunza kuti akambogera shamwari dzake misoro here, iye ndokuti akagera vari kuBOARDING SCHOOL. Ndikati hekanhi waro. Nyaya ndipo payakatangira pa.  

Vamwe vanofunga kuto vhudzi pamberi nomuhapwa rakaitigwa kuti ribate zvimwe zvimunhuwi zvinoitika pavanhu kuti vawanikwa vachikwevera varume kwavari (ATTRACTION)  Zvimunhuwi izvi zvinohi PHEROMONES zvinongokweva zvoga iwe muridzi usingatombozivi kuti munhu agara pedo newe mubhazi ava kutoda kukunyenga.

Kozoti vamwewo vanofunga kuti vhudzi rapamberi rakaitigwa kubata guruva ringangopinda pachitubu. Asi ukanyatsotarisa unoona kuti vhudzi rakatenderedza chitubu chaicho ishoma zhinji riri kure nechitubu rakatenderedza bhinzi.

Kozorizve vamwe vanoti kudzivirira kusvuuka panyama dzomuviri dzinokwizana kana uchifamba kana kuita mabasa ako. Somuhapwa nopakati pemakumbo. Ini ndoona sokuti vhudzi rinodzivirira kusvuuka muchorhojana.  

Rinobvisigwei?
Saka nyaya iripo chaiyo ndeyokuti hatizivi kuti vhudzi iri nderei. Chatinoziva ndechokuti varume vanoda kuona pamberi pasina chakafukidzapo kuti abve aita zemo nokutarisa. Isuwo vakadzi tinoda kutariswa nevarume vedu. Saka mazuvano kune nyaya yefashoni yokuti pamberi nomuhapwa hapaitwi vhudzi.

Rinobviswa sei?
Pane mabvisire akawanda. Panoti chigero chemaoko chaunokwanisa kugera nacho kana uchingoda kuti vhudzi rivepo haro asi riri doko. Chinonetsa panhu apa ndechokuti kugera kwacho kunoda maoko mana chaiwo, maviri akabata pamberi maviri achigera.

Unokwanisazve kushevha sezvinoita murume pachirebvu chake. Unokwanisa kundotenga muchini wekushevha wemaooko, wotora chidhishi chemvura woisa pedo. Wotorazve girazi rinohi chioniso worimisa pakanaka pokuti ugoona pamberi pako zvinongoitawo murume kana achishevha chirebvu. Wadaro, chibvisa bhurugwa ugare pasi paunozviona muMIRROR iya. wotora SHAVING CREAM wozora pamberi, wobva watanga kushevha. Zvinotora nguva nokuti matinji anonetsa kuashevha kuzhe kwawo kune vhudzi rakatarangana. Zvikuru kana wakadhonza matinji.  Wapedza, unokwanisa kungonogera zvatopera, asi uchavaviwa zvokuda kukwenya kakawanda. Kuti pasanyanyovava, kana wapedza, zora mentholated spirits kana vinegar. Inokusosona hayo asi inokubatsira pakuvava.

Unokwanisazve kushevha nechimuchini chinohi SHAVER chemagetsi kana mabhatiri. Ichi hachidi kuti ushandise kirimu. Unongoshevha pakaoma. Asi chinotinhira chichinyerekedza zvokuti unokwanisa kuzopedza panhu patozvimbirira kuita soune zemo. Kana pakatozvimbirira kudai zvinoita nyore kushevha.

Unokwansazve kundobviswa kumwe kunohi kunoitwa zve WAX. Vanoita zvokudzura vhudzi zvinotogwadza asi kana waitwa unombogara nguva usina vhudzi pamberi.  Awa ndiwo ma Bhabha shop epamberi. Kumwe vanozviita vacho vakadzi chete, asi ndakambohwa kuti ane shopu yaiva nomurume aizviita asi ainzi ingochani asinei nokuona pamberi pomukadzi saka vakawanda vaitoendako vachiti anoziva zvaari kuita.

Waribvisa unoriisepi?
Vanhu vokunyika yedu vane zvima SUPERSTITION zvavo panyaya dzevhudzi repamberi. Vanofunga kuti rinokwanisa kushandiswa pamishonga. Saka unoona kana munhu azvigera ofunga kuti vhudzi iri hariiswi mubhini. Kana zvichikunetsa tora vhudzi rako uise muTOILET ROLL wobva waisa mutoiret woflasha roenda kudhamhu resuweji. Ikoko kunonhuwa zvokuti varoi hakuna. Kana usingadi kudaro kanda mumoto ritsve, asi iwe ndiwe uchanhuwigwa. Kana uri kuDHAYASIPORA, varoi hameno kuti variko here uye kuti vangada vhudzi rako repamberi here. 

Mogarotarisa ndichiwedzera topic netopic panyaya iyi nokuti mudzimba umu manetsa, Varume vanoda kugera vhudzi redu. Isu pamwe hatidi naro pamwe tinoda murume agere asi iye haadi kuita BHABHA wemukadzi wake. Pamwe tinoda kuzvigera. Wotanga uchigera, wopedzisira wava kuita zvimwe ipapo. Nyaya iyoyi yakambobvepi, zvaita sei? Mohamadhi uyu mudhara wakatanga zvechi  Iziramu, kwahi aida zvivana zvidiki. Mukadzi wake wekupedzisira ange ane makore 9, iye atove mudhara. Saka musikana uyu ange asina vhudzi pamberi. 

Nhasi uno vakadzi vese vechiARABHU havabvumigwi kuva nevhudzi pamberi kana muhapwa. varume vavo vanoti zvinovasemesa. Ukabvunza kuti chii chinosemesa pavhudzi remukadzi pamberi asi varume vachitotukwa kana vabvisa ndebvu, hauwani mhinduro yakanaka asi kungoti Mohamadhi ndizvo zvaakataura. Chimwana ichocho che 9 years chakaparira mhomho yese yeIziramu. Asi ichowo chakaoneswa ndondo. Mudhara we 54 years achingochibata chibharo. 

Ndipo panobva nyaya iyi here, kuti varume vanoda pakaita sepechimwana chidiki, kana kuti pane zvimwe? isu mazuvano sei tichigera isu tisiri vechi Mohamadhi.? 

Imbofungai nazvo tione nokuti inotaugwa mudzimba nomumabhawa. Ndakahwa umwe woti haadi mukadzi ane vhudzi pamberi nokuti anokwanisa kumucheka chombo. Ini ndokubvunza kuti wakambohwa munhu akaenda kuchipatara achiti achekwa chombo nevhudzi repamberi here? Zvikahi bodo.  Ini ndokurondedzera kuti vanhukadzi vakawanda havameri vhudzi padhuze neburi rechitubu. Vhudzi rinomera kuno kumusoro kwakatenderedza bhinzi kunohi MOUNT. Saka hazviiti kuti kana vhudzi rako dziri reza richeke chombo chomurume pakupinzana nokuti kunopinzwa kunenge kune tuvhudzi twakatarangana. Saka iyo haisi RHIZENI yakanaka. 

Umwezve kwahi zvine HYGENE kugera. HYGENE yacho inobva papi? Chii chingashaisa HYGENE pavhudzi? Ko mumusoro vhudzi riirimo wani rakatowandisa asi haumbohwi vanhu vachiti gerai muite hygene. Ko varume havadiwo hygene yacho here? Isu tisu tinei chinoda hygene kupfuura varume? Sakazvehaisi rhizeni ine musoro. 

Zvinhu zvakadai zvinongotaugwa nevarume vanoda kuti tigere vhudzi asi chokwadi ndechokuti hakuna munhu akambokuvadzwa nevhudzi refu pamberi. Chero muvarungu vane rakarebesa havakuvadzani. Ukahwa murume achikuudza izvi muudze kuti ari kutaura nhema chaidzo dzaakahwa nedzimwe pwere vachifudza mombe. Variko vakadzi vasingatombogeri vhudzi vane RAIN FOREST chaiyo zasi asi anongovhurira murume wake achingorhojewa sezvatinongoita isu pasina kana dambudziko. 

Varume vedu vhudzi zasi havadi saka mutauro wavapo mazuvano unoita kuti kana une vhudzi ubve waruza konifidhenzi naro wongopedzisira wagera. Ivo varume vacho havaudzani kuti vhudzi zasi rakaipei asi kungoti rakaipa. Kuda rhizeni yacho iripo ndeyokuti murume anoda kuona mamirire akata zvinhu zasi kwemukadzi wake. 

Ku Europe kune belief yokuti varume vakawanda vanofarira kuvata nezvanana. Mukadzi mukuru akagera pamberi kana kuveura, panobva pangoita sepechimwana saka murume oita fungwa yokuti mukadzi mwana mudiki. Kana zvirizvo, zvinoreva kuti kuveura pamberi kudzidzisa murume kufunga nezvokuvata nezvivana zvidiki. 

STYLING:
Kozoita nyaya ye STYLING pavhudzi rezasi. Kune ma hair styles evhudzi rezasi akatowanda ekuti kana wada kuzviita unotokwanisa kuenda kuna bhabha wacho anokuitira style yaunoda.  Wadaro wononyemudza murume wako woona kuti anoti kudii.

Ini hangu sokuona kwangu vhudzi diki or kushevha ndizvo chete. Kana murume wako achifarira kumbosvitsa rurimi pabhinzi yako bheta kugara usina hako vhudzi zvachose.

Ndohwa vakadzi vakawanda vachikomburena kuti varume vavo havatombotarisi zasi saka murume anenge asingatombozivi kuti mukadzi wake ane vhudzi here kana kwate. Kana une murume wakadai uri munhu anofanira kuhwigwa tsitsi nokuti murume wako haatombozivi kuti mukadzi anotambwa naye, achimbopinzwawo mumwe nokusekenyedzwa pamberi. Nokurhojewawo masikati. Dzidzisa murume kujaira kutamba nepanhu apa kwete kungomirira kupinza chombo murima sezvinoita mapete.


Varume gerai nokushevha vakadzi venyu. zvinofadza chose uye zvinoitisa zemo kwamuri mese. 

UDZAI VAMWE!!!!!! 


5 comments:

Anonymous said...

Ndinovimba muri kuchengetwa. Regai ndikutendei nechemberi nenhau dzamunozeya pano idzo ndinowana zivo nebatsiro huru kwazvo. Nditendereivo kupa muvono wangu panyaya iri mudariro iyi ndakanangana nezvikonzero zviviri zvamabata munyaya iyi: i. KUCHEKWA NEBVUDZI - Ndinopupurawo seumwe wevarume vakambosangana nazvo. Semurume unomarika (scratch) asi zvinorwadza, ndinovimba nekuti kunyama nhete. Handiziviwo hangu kuti bvudzi iri rakazosvika kuchitubu sei, nekudambuka here kana kuti kumera sekuti kaingove 'one strand' asi kakandikuvadza. ii.UTSANANA - Pane zvinda zvinoita pabvudzi renyasi iri, kwedu tinozviti 'zvindakwenya' zvinoruma zvinovava. Zvinoshungurudza kugara uchingokwenya. Zvinoparadzirwa pakurara neanazvo. Kugera bvudzi iri zvinoshaya pekugara. Saka ndinokurudzira kugera kuvarume nemadzimai. Mukomborerwe nhasi nemazuva ose!

Mai E Chibwe said...

Zvechokwadi zvindakwenya zvinoitika kuvanhu asi kungoti ngatihwise kuti zvinogara pese pane vhidzi, musoro hapwa, pamberi.

Kana ukavata nomunhu anazvo unokwanisa kuzvibata chero une vhudzi chero usina. Pese zvinobatika.

Chikuru kuhwisisa kuti zvokuhura zvinokubatisa zvinhu zvakawanda.

Chimwezve kugarogeza neSHAMPOO pamberi nomusoro nehapwa. Womborega SHAMPOO iripo wozogeza.

Mai E Chibwe said...

Yokuchekwa nevhudzi iyo ndakabvunza vakawanda vanoshanda muzvipatara kuti zvinoitika here hakuna wandakambohwa achiti akambozviona. Saka pamwe ndiwe wekutanga kuitikigwa nazvo.

Anonymous said...

ndionotenda nenyaya iri mudariro. chiripo bvudzi repamberi kana rikakurisa rinodzika richisveverera kuchitubu, kucheka kwaro kunonyanyabata vakomana vanoisa zvekumanikidza musikana achimboramba asi kana rikabata nhengo yemurume vhudzi riya rinocheka. imwe rizeni sei richinzi rigerwe ndeyokuti vamwe vakadzi hutsanana hunovanetsa. anogona kunge asinganyatsorigeza saka paanobvisa kana kubviswa bhurugwa unobva wanzwa zimweya kuti kutu zvekuti. iroro zimweya rinoita kuti munhu asazoda kunanzva kusasi kwemukadzi wake. ndatenda hangu , ndiri kubatsirika nezvidzidzo izvi

Unknown said...

Mai Chibwe , ndinokutendai , may u kindly email me, l hv an issue