Tuesday 3 July 2012

Kurera mubvandiripo sewako

Ukatoorana  nomunhu ane vana vake noumwe munhu, uchitoziva kuti ndizvo zvaari, chigamuchira vana vaya uvade sevako. Vana havana kusiyana pane kureriwa kwavo. Uyu wawaroorana naye mumoyo make ari kutofara kuti vana vave nababa namai muno mumba. Haachina fungwa dzokuti uyu haasi wako. Saka unofanigwa kumuda sewako.

Ukaona mukadzi ne vana vake owana murume anoda kumuroora kazhinji haasiriye wekutanga. akatombonyengwa nevamwe varume, vamwe vakaonekwa nevana vake, Zvimwe vamwe vakatombovata pamba muBedroom yamai. Saka vana vanoshushikana moyo kuona munhu anoita zvaiitwa nababa vavo. Kana baba vakashaika vana vati kurei vanoona sekuti kusvika kweumwe murume asiri baba vavo, kunoratidza kuti zveshuwa baba hapachina saka zvinokwanisa kushungurudza vana kwenguva. Zvino kusvika kwevarume vakadai vachiti uyu akambouya ovata namai, ozoti pavapo vana havachaoni achiuya, komboita nguva umwezve otanga kuuya, zvichidaro kusvika pazouya anoita nguva aripo ozoda kuroora mai, zvinonetsa fungwa dzevana nokuti havazivi zvinoitika. Vakuru dai vachimboti vawana murume kudaro anoda zvokuvaka musha, vogara pasi nevana votsanangurira vana kuti nyaya iri kufamba sei vachishandisa mutauro unohwisiswa nevana.

Zvadaro uyawo murume odzidza kutaridza vana rudo.

Murume ane vana vake noumwe mukadzi toti akashaika, akazoda zvokuroora umwe, anofanirawo kumbounza mukadzi mutsva kuti ajairane nevana kwenguva uye achirondedzera vana kuti mai vavo anongovada asi kuti havachipo saka wovatsvakira mai vatsva. Opotawo achmbovabvunza kuti vanoda mai vatsva vakaita sei achitaura nevana achihwa zvavanofunga. Vana vanoitawo EXCITEMENT yokutarisira mai vatsva asi pamwepo vanonetseka nokuda kuziva kuti mai vatsva vachavadawo here sezvaiita mai vavo vokubereka.. Zviri kwatiri isu vakuru kukadzikanisa hana dzevana panyaya iyi.

Kana murume/mukadzi akarambana nowaaiva naye kuroorana noumwe inyaya inonetsa vana chose nokuti vanoziva kuti mai/baba vavo vapenyu. Kutora nzvimbo yomunhu mupenyu zvinonetsa kutsanangurira vana.

Toranai nehama dzenyu mutaurirane zvamunoda kuita nevana kuti zvisazokunetsai mberi uko. Kana murume ane vana achitora mukadzi mutsva mukadzi ndiye anofanira kuzvidzidzisa kuda vana vomurume. Kana murume achiroora mukadzi anevana, murume anozvidzidzisa kuda vana vomukadzi wake chero baba vavo vari vapenyu.



Tichaitaura iyi pano.

3 comments:

Anonymous said...

Pane nguva here pachivanhu inotarisirwa kuti varoorana vamboagara vese varivega vasati vaunza mubvandiripo pamba kuti vachigara vese. Matambudziko angawanikwa panyaya iyi ndeapi?

Mai E Chibwe said...

Zviri nani kuti pamunyengana mmboita nguva muchipota muchisangana mese nevana kuti vana vajaire kukuonai muri mese. Chimwezve ndechokuti munge makadzikama hana. Inguva inoshungurudza vana nokuti havazivi zvichaitika uye kuti vachadiwa here. Vana vanoda STABILITY saka kuonekwa muri vanhu vakadzikama chinhu chakanakira vana.

Kozoti maroorana, munofanira kunge magara mataurirana kuti muchagara sei nevana. Kana vana vanga vachigara namai vavo (toti vakashaikigwa nomurume) zvinoreva kuti pamwe mhuri yese inotobva pamba apa yoenda kune imwe imba. Vana havakwanisi kumbosara vega. Vanouya namai vabo. Kozoti vanavanga vachigara pamusha pamadzisekuru vabereki vamai, vanokwanisa kumbosara mai voenda kumurume mutsva. Munokwanisa kuronga nyaya yenyu kuti zviitike pakati pegore rechikoro motaura kuti vana ngavachipedza gore kuchikoro kwavari vozouya majaira kugara mese.

Makamirira kudai onai vana nguva nenguva muchiwanza kutamba navo nokuita zvinhu mese semhuri.

Unknown said...

Mubvandiripo uyu anodaidza baba ava achiti kudii,babamunini here?