Wednesday 11 July 2012

Kuvarume vedu, tererai nhasi


Imi makasiyana nesu pazvinhu zvakawanda. Chimwe chazvo ndechokuti kana mukapedza mazuva akati kuti musina rhoji mukadzi aripo pamba asingagwari, uye asiri kumwedzi, asinazve kuzvara mwana,  Munotanga kukomburena zvinohwikwa muchipa mukadzi mhosva sokuti ndiye akonzera kuti pamba paite zhara yezvinhu izvi.  Ndakataura kakawanda pano kuti hakuna mukadzi akawanikwa nomurume wake waakazvitsvakira asramba kurhojewa naya kana musi umwe haho pasina dzimwe nyaya. Ndakataurazve kakawanda ano kukurudzira vanamai vemba kuti nyaya yeRhoji haisi nyaya yakakodzera kuivhenganisa nedzimwe nyaya. Ngaimire iri kwayo yega kuti mumba tisamboita DOUGHT yokuti rhoji inowanikwa. Saka vanhu vachiziva zvose izvi chii chinenge chakanganisika?

Chinokukonzera kuti uvate wakasungira chombo pagumbo washaya pokuchiisa mukadzi wako aripo chii? Kusahwisisa kwemukadzi here kana kuti pane zvimwe?  Ndiri kutaura nemi varume vedu nhasi.

Chokutanga hwisisa kuti zemo remukadzi harina switch youita ON/OFF sezvamunoita renyu. Isu tinoita  0 to 60 in 2 hours. Mukadzi anoda kugara akafidhwa zvinhu zvinoitisa zemo. Tanga kuseniseni paunomuka, woudza mukadzi wako kuti chikapa chaaita usiku kana makuseni iwawo ndicho chaicho. Torawo maminitsi akati uchirezva mukadzi wako. Chimuporomisa zvinhu zvemanheru wabva kubasa.

Tarisa achipfeka achigadzirira kubasa. Muudze kuti dai pane nguva wamboita zvimwe.

Mava kubasa wanawo nguva yokumutumira TXT yokumuyeuchidza zvaunoda manheru. Muudze kunaka kwaakaita nokunaka kwaanoita iye kuti iwe unofungei nazvo zvaari izvi. Mukadzi anofarira kufungwa nomurume, kuziva kuti ndiri mufungwa yomurume wangu chinhu chinofadza moyo.

Kanawaedza basa usada kupfuura nekweshamwari yako.  Enda kumba undoona zviri kuitwa nomukadzi wako. Vakadzi hatifariri murume anopfuura nomumaraini munzira yokumba. Kana wada kuenda kumaraini, uya unditore tiende tese. Zvokubhwa bodo. Ndezvavaya vava namakore makumi matatu varoorana.  Iwe wechidiki unodiwa kumba.

Mukadzi haaendegwi kuSupermarket. Rega aende ega. Iwe kana wada kuenda naye enda naye. Mukadzi ndiye anobika kupfuura murume paChiKaranga chedu. Rega atenge zvaanoda kubika zvacho.

Wasvika kumba zivawo kuti mese manga muri kumabasa saka mese makaneta. Svika nomufaro ufadzewo mukadzi wako. Unoona iye ava kutokubvunza kuti waswera sei. Ari kuda kuterera nyaya dzako dzaitika kubasa nhasi saka mupe SUMMARY, wadaro chigarai pasi mumwe zvimwiwa wochimuudza zvese. Chimubvunzawo kwake kuti kwakadii unohwa okuudzawo dzake. Terera dzinomukwidzisa hwi raka ubvunze mibvunnzo uye kuita dzako nyaya idzodzo.

Kana mune vana chimbotorawo vana utambe navo mai vavo vachiita zvavanoda kuita. Kana kuchidziya enda pazhe nevana muwane chokuita. Kana kuchitonhora gara navo panodziya uvaudze ngano. Vambobvawo pana mai.  Kana musina vana tarisa zvaari kuita umubatsire kuzviita. Mabasa emumba haaperi. Usangogara pasi uchiverenga nyuzipepa iye achimiramira. Tangai maedza mabasa anoitwa mumba. Kana usingaoni zvokuita, mubvunze kuti chii chinoda kuitwa akuratidze.

Kubika nokuaina kunonetsa kana munhu chishanda saka kana zvaitwa ratidzawo kuti unoziva kuti paitwa basa. Kune varume vanoita gore rese achingopfeka hembhe dzakachena dzakaainwa zvakanaika nokudya zvakabikwa zvakanaka asingambotendiwo kuti mukadzi wake ari kumuitira zvakanaka.  Mukadzi haasi musikana webasa waunobhadhara kupera kwemwedzi.  Uyu mubhadharo wake uri mumoyo. Potawo uchiudza umwe wako kuti ari kukuchengeta zvakanaka.

Mumba usawedzera basa. Vamwe varume vanongoti paakururira bhuugwa ndipo paanorisiya ipapo. Paabvisira masokisi ndipo paanomasiya,  Bhachi rakatengwa mari yakawanda rinongokandwa pasi kwahi mukadzi achapfuura napo agorona agoritora oisa muwadhiropu nokuti ndizvo zvandakamuroorera kuti aite nhapwa yangu.  Murume akachenera anodzosera sutu yake muwadhiropu. Akabvisa hembhe dzakasviba anokanda muWASHING BASKET. Shangu dzine guruva dzinosiiwa pedo nomukova. Mukadzi wako samba rokukorobha haana nokuti uchada kuti aite samba muchiuno .

Kana vana voda kunovata chienda navo uvafukidze machira vavate. Uchaona mai vavo vachigadzira nhumbi dzavo dzokupfeka mangwana vachienda kuchikoro. Ukuzve vogadzira mbuva yokuchikoro. Saka kuendesa vana kunovata kuti mai vavo vawane mukana wokupedza mabasa awa kuti mugomboitawo kanguva imi vabereki mese musati manovatawo.

Usaaira kungosimuka woti wava kunovata. Kumbira mukadzi wako kutimese muende kunovata. Mobvapo monogeza moenda henyu kunovata, Mukadzi akaangofunga uri shamwari yake yepamoyo, haumbooni achikurega uchivata usina kupiwa twako.  Kumubatsira kwese kuya kunosevha samba rake rinonoungana muchiuno umu panguva yokuvata roshandiswa rese zvaro, iwe wotopedzisira wava kukomburena kutimukadzi ari kuda kukuuraya.

Kana murume asingashandi mukadzi achishanda, murume wedzerawo basa raunoita mumba kuti mukadzi awane nguva yokuzorora achikurongera zvinhu. Kana uri OFF musi iwoyo mukadzi aenda kubasa, wedzerawo zvaunoita mumba musi iwoyo. Taridza rudo uye kuti unoziva kuti mukadzi wako anoita basa rakakosha mumba.

Zemo romukadzi rinotangwa mangwanani roswera richirezviwa zuva rese rozokuchidzigwa manheru robaka moto  rofadza mese. Kutimukadzi akaneta iwe woda zverhoji asi wanga uchiverenga nyuzipepa rako iye achitambura nokubika, navana, nokuaina, nokunonga nhumbi dzako awadzisiya, nokunonga ndiro yawadyira ukangosiyapo, nokukugezesa musana,  hazviiti veduwee. Dzidzaiwo kutibatsira mumba kuye kutida nomoyo wose.

Munhu ziva siyano yemusikana webasa nomukadzi wako, ugozivazve kuti kuuya kwandakaita yange isiri nhamo yesadza. Ndakavinga iwe murume. taridzawo kuti inozviziva.

Iyi inyaya huru chose saka vanodawo kuwedzera wedzerai tihwe.
__________________________________


Regai ndimbomirawo apa nditaure imwe nyaya kunesu vakadzi. Ndinohwa nyaya dzakawanda chose dzokuti mukadzi kana achishanda, murume asingashandi, pane vamwe vedu vanotanga kumhura murume kuita sokuti haachisiri murume nokuti haashandi nguva iyoyo. Uku kusahwisisa zvachose. Murume ndipo paanenge ava kutofanira kusapotiwa kuti KONIFIDHENZI yake ikwirire ahwe kuti mukadzi waakaroora munhu kwaye anomusapota nguva iri ipi zvayo. 

Murume kana asingashandi anenge ane nhamo huru mufungwa make zvokuti pamwe chombo hachimiri mava kunovata. Iwe mukadzi hwisisa zviri kuitika kumurume wako, womubatsira kuwana zvokuita iwe uri kubasa. Womukurudzira kubvuma kufanoita cherobasa akamirira basa raakadzidzira. Ndipo panodiwa shamwari ipapa kuti ubvunze kuti kwadziri hakunawo here mabasa. Mutsvakire chero rokutengesa zvinhu kungoti awane chokuita. Uchaona kuti mufaro mumba unoita hawo mushoma asi munopfuura panhamo iyi pasina zvakaipa zvaitika. Kudza murume wako chero nguva. Iwewo kana usina vana, usingashandi uchaona kuti murume anokusapota.

Imiwo varume kana usingashandi ukaona mukadzi ava kuda kuzviita murume mumba, asatanga kupopota nokurega kumupa rhoji yake. Tsanangura kuti uri kutsvaka basa nomoyo wose arege kukushusha. Asizve gamuchira tumwe tumabasa kungoti umuke une kwauri kuenda kusvika wazowana rako. Terera kuti mukadzi wako ari kuti kudii uye nemhaka yei.

Kune vamwezve vanoona sokuti vakatambira mari iri pamusoro kupfuura yomurume zvoreva kuti murume amhurika. Koitazve varume vanoti mukadzi akatambira mari iri pamusoro vofunga kuti haachakudi. Uku kusangogonawo kufunga. Kana magara muchiwirirana mumba menyu zvese izvi hazvina nebasa rese.

Murume akashaya Konifidhenzi ndipo zvese zvemumba zvamakaita makore muchivaka zvinoparara. 

Udzai vamwe!!!!!

No comments: